Kana Mwana Wenyu Akabatwa Zvisina Kufanira
KUTI mudzivise kubatwa zvisina kufanira, munofanira kukuziva apo munokuona. Mumabhuku akawanda pamusoro penhau yacho, nyanzvi dzakaronga zviratidzo zvakawanda zvinoratidzira zvimwe zvinhu zvokubatwa zvisina kufanira izvo vabereki vanogona kungwarira nokuda kwazvo. Izvi zvinobatanidza: kuchema kwokurwadziwa pakuita weti kana kuti kuita tsvina, hosha dzemitezo yokubereka nayo, kusvuuka kana kuti kukuzvuka munzvimbo yemitezo yokubereka nayo, kutanga kwakamwe kamwe kuitira weti pahuvato, kurasikirwa nechishuvo chokudya kana kuti zvimwe zvinetso zvokudya, muitiro wevatano wokuchenjera, kutya kwakamwe kamwe nzvimbo dzakadai sechikoro kana kuti mativi emba, nhambo dzokuvhunduka, kutya kukurusa kupfekenura, kutya kuva oga nomunhu akarovedzeka, uye kuzvikuvadza.
Zvisinei, ngwarirai pamusoro pokuita fungidziro dzechimbi-chimbi. Zvizhinjisa zveizvi zviratidzo izvo zvimene hazvirevi hazvo kuti mwana chaizvoizvo akabatwa zvisina kufanira muvatano. Chimwe nechimwe chingagona kuratidzira chimwe chinetso chakati. Asi kana mukaona zviratidzo zvinovhiringidza, nounyoro kurukura nhau yacho, zvichida nokutaura kwakadai sokuti: “Kana munhu upi noupi akambokubata nenzira inokuita kuti usanzwa zvakanaka, ndinoda kuti uzive kuti unogona kundiudza nguva dzose, uye ndichaita zvose zvandinogona kukudzivirira. Chinhu chipi nechipi chakadaro chati chamboitika kwauri here?”—Zvirevo 20:5.
Kana mwana wenyu akazivisa kubatwa zvisina kufanira muvatano, pasina panikiro muchanzwa mapera nezano rose zvaro. Asi yeukai, kuti: Kuita kwenyu kuchaita rutivi rukuru mukunaya kwomwana. Mwana wenyu ave akatakura mutoro usingatsungiririki uye anokudai, nesimba renyu rose ravanhu vakura, kuusimudza pamapfudzi ake. Rumbidzai mwana nokuda kwokuva akashinga zvikuru pamusoro pokukuudzai chakaitika. Dzokororai madzokororazve kuita kuti mwana ave nechokwadi chokuti muchaita unani hwenyu kugovera dziviriro; kuti kubatwa zvisina kufanira kwakanga kuri mhaka yomubati zvisina kufanira, kwete yomwana; kuti mwana haana “kushata”; kuti munoda mwana.
Mamwe magweta anopangira kushuma kubatwa zvisina kufanira kuzviremera nokukurumidza pakunobvira napo. Mune nyika dzakati gadziriro yapamutemo ingada ikoku. Asi mune dzimwe nzvimbo gadziriro yapamutemo ingasapa tariro yokutongwa kwemhaka kunobudirira.
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, apo mubati zvisina kufanira anenge ari mukwanyina wako umene anodiwa? Kunosuruvarisa kutaura, vakadzi vakawanda vanokundikana kuita chiito chakasimba. Chokwadika, hakusati kuchitongova nyore kunangana nechinhu chakashata chomukwanyina ari mubati zvisina kufanira womwana. Zvisungo zverangariro, uye kunyange rutsamiro rwezvemari, zvinogona kuva zvakasimba zvikuru. Mudzimai atadzirwa angazivawo kuti kuita chiito kungaita kuti murume arasikirwe nemhuri yake, basa rake, mukurumbira wake wakanaka.a Zvokwadi chaiyo ndeiyi, kunyanguvezvo, kuti iye angave achicheka bedzi zvaakadyara. (VaGaratia 6:7) Vana vasina mhaka, kune rumwe rutivi, vanogona kurasikirwa zvikuru kwazvo kana vasingadavirwi nokudzivirirwa. Nguva yavo yose yemberi iri mungozi. Havana pfuma iyo vanhu vakura vanayo. Kuvadziko inogona kuvakuvadza ndokuvaumba nomutoo wakashata nokuda kwoupenyu hwose. Ndivo vanoda uye vakafanirwa nokubatwa kunyoro.—Enzanisa naGenesi 33:13, 14.
Naizvozvo vabereki vanofanira kuita nhamburiko iri yose yakati kudzivirira vana vavo! Vabereki vane mutoro vakawanda vanosarudza kutsvaka betsero yenyanzvi nokuda kwomwana akabatwa zvisina kufanira. Kungofanana sezvawaizoita nachiremba wezvokurapa, ivai nechokwadi chokuti nyanzvi ipi neipi yakadaro icharemekedza mirangariro yako yorudzidziso.b Betserai mwana wenyu kuvakazve kuzviremekedza kwake kwaputsanywa kupfurikidza nokudururwa kwakatsiga kworudo rwavabereki.
[Mashoko Omuzasi]
a Muuchokwadi, mubati chibharo atova muchinetso uye anoda betsero zvikuru. Kunyange kana mupari mhaka akataura kuti ane urombo, mukwanyina akatadzirwa angarangarira, kuti: Neiko asina kureurura asati afumurwa nanyajambwa wake?
b Somuenzaniso, apo Zvapupu zvaJehovha zvinonangana nenhau dzinobatanidza kuisirwa ropa, zvinova nechokwadi chokuti chiremba aremekedza zvitendero zvazvo zvorudzidziso.