“Iri Rinooneka Sebhuku Randingada Kurava Ini Ndimene”
Jessica, mudzidzi wamakore 16 okukura pachikoro chapamusoro cheNew York City, akanyorera Mukai!, kuti: “Ndine mudzidzisi wenhau uyo pasina munhu, ndinoreva kuti hapana munhu, anomuda. Akagovera boka rekirasi mabasa pamusoro pe‘Marudzidziso Makuru.’ Boka rangu rakapiwa Islam. Handina kunetseka nemhaka yokuti ndaiziva kuti ndaizova akasanoshongedzerwa nebhuku raMankind’s Search for God. Ndakagadzirira mushumo wakanakisisa wandaigona.
“Zuva rakasvika apo boka redu raifanira kupa mushumo wokutaura. Mudzidzisi akanga achidzongonyedza nokutuka vadzidzi, naizvozvo ndakatya zvishoma. Apo rakanga rava banza rangu, ndakaudza kirasi pamusoro pamativi echienzi echiIslam. Ndakafambisa bhuku raSearch, ndichirairidza vadzidzi kutarira mifananidzo iri pamapeji 286 uye 289. Apo mudzidzisi akaongorora bhuku racho rose, akandimisa achiti, ‘Pamusoro, iri ibhuku rako here? Ndinogona kurichengeta here?’ Ndakapindura, kuti ‘Ndinogona kukutsvagirai kopi yenyu mumene kana muchida.’ Chiso chake chakaratidzira mufaro, uye akati: ‘Ikoko kungava kwakaisvonaka. Irori rinooneka sebhuku randingada kurava ini ndimene.’ Mwoyo wangu wakanga uchirova zvakasimba nomufaro nokushamisika, ndakangokakamira nomushumo wangu wasara.
“Akandipa mamakisi akakwirira zvikurusa mukirasi (95) pamushumo iwoyo. Ndinoonga Jehovha Mwari nemi hama nokuda kwokutipa chinhu chinokosha chakadaro seMankind’s Search for God.”
Kana uchida mashoko akawanda pamusoro penhau ipi neipi yadudzwa mumagazini ino kana kuti uchishuva fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota inzwa wakasununguka kunyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero iri pedyosa yakarongwa papeji 5.