Kuonga Mukai!
VARAVI vakawanda zvikuru veiyi magazini vanoonga kujekesa kwavanogamuchira panhau dzakawanda zvikuru. MuFrance yokumaodzanyemba mumwe murume nomudzimai wake vari Zvapupu zvaJehovha vakagamuchira tsamba inotevera yakabva kumurume akanaka wavakanga vasiira kopi yaMukai!
“Vanodiwa Changamire naMai:
“Ndinosanoziva kuti Mwari ane zvimwe zvinhu zvokuita zvinopfuura kugutsa nzira dzedu duku dzokuona kupindira kwake mumugariro uri wose unobvira. Kunyange zvazvo ndisingabvumirani nourwu rudzi rwokufunga ini ndimene, ndinopwisa kuti kusvika kwenyu apo ndakanga ndava kuda kubva pamba kwakanga kuchipfuura zvikuru kungosanganawo zvako. Ndakanga ndine nguva yokugamuchira chinyorwa chechiNgezi chaMukai! chechiNgezi chaAugust 8, 1990. Kwaizova kunoodza mwoyo sei kurasikirwa nacho!
“Kunzvera kwokuchenjera munhevedzano inoti ‘Kutonga Kwavanhu Kwakayerwa’ kwakabata fariro yangu uye kwakandishamisa zvikuru. Ndinobvumirana zvakasimba nenzira iyo nhevedzano yacho inopiwa nayo . . . Naizvozvo, ndingakukumbirai kuronga kuti ndigamuchire zvinyorwa zvinotevera zvaMukai! Ndingasada kurasikirwa nechipi nechipi muiyi nhevedzano.”
Zvapupu zvaJehovha isangano renyika yose ravanopfuura vadzidzi veBhaibheri vane mamirioni mana vakazvipira kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro penyika yakavapota uye pamusoro peShoko raMwari uye nzira yokuzadzika kwaro. Kana ungada kuva namamwe mashoko kana kuti fundo yeBhaibheri yapachena yapamusha, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.