‘Anoziva Mhinduro Dzose dzeBhaibheri’
Paimwe nguva yakapfuura mumwe mukadzi womuNew York State akatumira aichimbova mufundi biyake, airera mhuri, kopi yebhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Pashure penguva yakati kuti mukadziyo akagamuchira tsamba inobva kwaari umo iye akanyora pamusoro pomwanasikana wake Elizabeth:
“Anoda bhuku chaizvo—ndiro bedzi raanoda kuti ndimuravire usiku. Anowana nhau shanu (nokuti iye ava namakore mashanu) usiku, uye vhiki rakapera mudzidzisi wake weSandesikuru akandiudza kuti anogarovimba naElizabeth pakuziva mhinduro dzose dzemibvunzo yeBhaibheri. Naizvozvo rinofanira kuve rakanyorwa nomumwe munhu anosanonzwisisa zvinodiwa navana.”
Mudzimai weNew York anotaura pamusoro peshamwari yake, kuti: “Ikoku kwakanga kuri kuita kwake kwokutendeseka, sezvaanonanga zvikuru uye haati aizorumbidza bhukuro kudai akanga asingaridi.”
Tinorangarira kuti newewo uchakoshesa ichi chinyorwa chine mifananidzo yakaisvonaka, chamabhii makuru. Nhau dzacho dzeBhaibheri dzine 116 dzinopa muravi pfungwa yeizvo Bhaibheri rinoreva nezvazvo. Idzi nhau dzinooneka munhevedzano makaitikira zvinotika munhau. Uchawana ichochi kuva chinobetsera zvomenemene kudzidza apo, muwirirano nezvimwe zvinoitika, zvinhu zvakaitika munhau. Gamuchira iri bhuku rinokosha ramapeji 256 kupfurikidza nokuzadza ndokutumira kuponi.