RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt pp. 12-13
  • Mubvunzo 5: Bhaibheri rinotaura nezvei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mubvunzo 5: Bhaibheri rinotaura nezvei?
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Mubvunzo 5: Bhaibheri rinotaura nezvei?

MUBVUNZO 5

Bhaibheri rinotaura nezvei?

“Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pevana vako nemwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”

Genesisi 3:15

“Marudzi ese epanyika achazviwanira chikomborero nekumwana wako nekuti wateerera inzwi rangu.”

Genesisi 22:18

“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.”

Mateu 6:10

“Mwari anopa rugare ava kuda kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.”

VaRoma 16:20

“Zvinhu zvese pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana pachake achabva azviisawo pasi peuya akaisa zvinhu zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvese kuvanhu vese.”

1 VaKorinde 15:28

“Vimbiso idzi dzakataurirwa Abrahamu uye mwana wake . . . , iye Kristu. Uyewo kana muri vanhu vaKristu, muri vana vaAbrahamu zvechokwadi.”

VaGaratiya 3:16, 29

“Umambo hwenyika hwava Umambo hwaShe wedu nehwaKristu wake, uye iye achatonga samambo nariini nariini.”

Zvakazarurwa 11:15

“Saka dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, uyo ari kutsausa nyika yese; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.”

Zvakazarurwa 12:9

“Yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani, ikamusunga kwemakore 1 000.”

Zvakazarurwa 20:2

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe