RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 2 Johani 1-13
  • 2 Johani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 Johani
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Johani

TSAMBA YECHIPIRI YAJOHANI

1 Ini murume mukuru,* ndiri kunyora kwauri iwe mukadzi akasarudzwa uye kuvana vako. Ndinokudai chaizvo. Handisi ini chete ndinokudai, asi munodiwawo nevaya vese vakasvika pakuziva chokwadi. 2 Tinokudai nemhaka yechokwadi chinoramba chiri mumwoyo medu, uye chaticharamba tiinacho nekusingaperi. 3 Nyasha, netsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba nekuna Jesu Kristu Mwanakomana waBaba zvichava nesu, pamwe chete nechokwadi nerudo.

4 Ndiri kufara chaizvo nekuti ndiri kuziva kuti vamwe vana vako vari kufamba muchokwadi,+ sekurayirwa kwatakaitwa naBaba. 5 Saka ndiri kukukumbira, iwe mukadzi akasarudzwa, kuti tese tidanane. (Handisi kukunyorerai murayiro mutsva, asi murayiro wataiva nawo kubvira pakutanga.)+ 6 Tinoratidza kuti tine rudo nekuramba tichiteerera mirayiro yake.+ Uyu ndiwo murayiro wacho, sezvamakanzwa kubvira pakutanga, kuti munofanira kuramba muchifamba murudo. 7 Nekuti munyika mune vanyengeri vazhinji,+ vaya vanoramba kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama.+ Uyu ndiye munyengeri uye munhu anopesana naKristu.+

8 Ngwarirai, kuti murege kurasikirwa nezvatakashandira, asi kuti muwane mubayiro wakazara.+ 9 Munhu wese anomhanyira mberi asingarambi ari mudzidziso yaKristu, haasi pamwe naMwari.+ Asi munhu anoramba ari mudzidziso iyi ndiye ari pamwe naBaba neMwanakomana.+ 10 Kana pakava nemunhu anouya kwamuri asina dzidziso iyi, musamugamuchire mudzimba dzenyu+ kana kumukwazisa. 11 Nekuti munhu anomukwazisa anenge achibatana naye mumabasa ake akaipa.

12 Kunyange ndiine zvinhu zvizhinji zvekukunyorerai, handidi kuita izvozvo nepepa neingi, asi ndiri kutarisira kuuya kwamuri kuti nditaure nemi tichinyatsoonana, kuti muve nemufaro uzere.

13 Vana vemukoma wako akasarudzwa vanokukwazisa.

Kana kuti “Ini mukuru.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe