RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Tito 1:1-3:15
  • Tito

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tito
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Tito

TSAMBA KUNA TITO

1 Pauro, muranda waMwari uye muapostora waJesu Kristu maererano nekutenda kwevanhu vaMwari vakasarudzwa uye ruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi chinoenderana nekuzvipira kuna Mwari, 2 izvo zvinobva patariro yeupenyu husingaperi+ yakavimbiswa kare kare naMwari, uyo asingagoni kureva nhema;+ 3 asi panguva yake yakakodzera akaita kuti shoko rake rizivikanwe kuburikidza nebasa rekuparidza randakapiwa+ maererano nemurayiro weMuponesi wedu, Mwari; 4 kuna Tito, mwana chaiye maererano nekutenda kwedu:

Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu ngazvive newe.

5 Ndakakusiya muKrete kuti ugadzirise zvakanga zvisina kumira zvakanaka uye kuti ugadze vakuru muguta rimwe nerimwe, sezvandakakurayira kuti: 6 kana paine murume asina chaanopomerwa, murume ane mudzimai mumwe chete, ane vana vanotenda vasingapomerwi kuti havazvibati kana kuti havateereri.*+ 7 Nekuti semuranda* waMwari, mutariri anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa, asina kuoma musoro,+ asingakurumidzi kushatirwa,+ asiri chidhakwa, asingaiti mhirizhonga,* asingakari pfuma, 8 asi anogamuchira vaenzi zvakanaka,*+ anoda zvakanaka, ane pfungwa dzakanaka,+ akarurama, akavimbika,+ anozvidzora,+ 9 anobatisisa mashoko akatendeka pakudzidzisa kwake,+ kuti akwanise kukurudzira* achidzidzisa zvinhu zvakanaka*+ uye kutsiura+ vaya vanopikisa.

10 Nekuti kune vanhu vakawanda vakapanduka, vanotaura zvisina zvazvinobatsira, uye vanonyengera, kunyanya vaya vanoti kuchecheudzwa kunokosha.+ 11 Vanhu ivava vanofanira kunyararidzwa, nekuti vanoramba vachiparadza dzimba dzese nekudzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, vachizviitira kuti vawane pfuma. 12 Mumwe muprofita wavo chaiye, akati: “VaKrete vanhu vanonyepa, zvikara zvakaipa, simbe dzinodyisa.”

13 Uchapupu uhwu ndehwechokwadi. Saka ramba uchivatsiura zvakasimba, kuti vave nekutenda kune utano, 14 vasingateereri ngano dzevaJudha nemirayiro yevanhu vanotsauka pachokwadi. 15 Zvinhu zvese zvakachena kuvanhu vakachena;+ asi kuvanhu vakasvibiswa uye vasina kutenda, hapana chakachena, nekuti pfungwa dzavo nehana dzavo zvakasvibiswa.+ 16 Vanozivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo,+ nekuti vanosemesa, havateereri uye hapana basa rakanaka ravanonzi vakakodzera kuita.

2 Asi iwe ramba uchitaura zvinhu zvinoenderana nedzidziso yakanaka.*+ 2 Varume vakuru ngavave vanhu vanoita zvinhu zvine mwero, vanoita zvinhu nemwoyo wese, vane pfungwa dzakanaka, vanonyatsoratidza kutenda, rudo, uye kutsungirira. 3 Vakadzi vakuruwo ngavazvibate zvakakodzera vanhu vatsvene, vasingatauri zvinosvibisa mazita evamwe, vasingaitwi varanda newaini, vadzidzisi vezvakanaka, 4 kuti vakwanise kurayira* vakadzi vadiki kuti vade varume vavo, vade vana vavo, 5 vave nepfungwa dzakanaka, vane tsika dzakachena, vanoita mabasa epamba, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo,+ kuti shoko raMwari rirege kushorwa.

6 Ramba uchikurudzirawo varume vadiki kuti vave nepfungwa dzakanaka,+ 7 uchiratidza kuti uri muenzaniso wemabasa akanaka pazvese zvaunoita. Dzidzisa zvakachena uchizviita nemwoyo wese,+ 8 uchitaura mashoko anobatsira,* asingagoni kushorwa,+ kuti vaya vanopikisa vanyare, vasina chakaipa chekutaura pamusoro pedu.+ 9 Varanda ngavazviise pasi pavanatenzi vavo pazvese zvavanoita,+ vachiedza kuvafadza, vasingavaitisi nharo, 10 vasingavabiri,+ asi vachiratidza kuvimbika kwakakwana, kuitira kuti zvese zvavanoita zviite kuti dzidziso yeMuponesi wedu, Mwari, ioneke kunaka kwayo.+

11 Nekuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena, dzichiunza ruponeso kuvanhu vakasiyana-siyana.+ 12 Dzinotidzidzisa kuramba zvinhu zvisingadiwi naMwari+ uye kuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nekururama nekuzvipira kuna Mwari munyika ino,+ 13 tichimirira tariro inofadza+ nekuratidzwa pachena kunobwinya kwaMwari mukuru uye kweMuponesi wedu, Jesu Kristu, 14 uyo akazvipa kuti atisunungure*+ pakusateerera mutemo kwemarudzi ese uye kuti azvichenesere vanhu vake ega, vanoshingairira mabasa akanaka.+

15 Ramba uchitaura zvinhu izvi, uchikurudzira uye uchitsiura zvinoratidza kuti une masimba akakwana ekuzviita.+ Ngaparege kuva nemunhu anokutarisira pasi.

3 Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye vateerere hurumende nevanhu vane masimba,+ vave vakagadzirira kuita mabasa ese akanaka, 2 vasataure zvakaipa nezvevamwe vanhu, vasapopotedzane, asi vave vanhu vanonzwisisa,+ vachinyatsoratidza unyoro kuvanhu vese.+ 3 Nekuti nesuwo taimbova vanhu vasina musoro, tisingateereri, tichitsauswa, tiri varanda vekuchiva kwakasiyana-siyana nevemafaro, tichiita zvakaipa uye tiine shanje, tichisemesa, tichivengana.

4 Asi Muponesi wedu, Mwari, paakaratidza pachena mutsa wake+ uye kuda kwaanoita vanhu 5 (kwete nekuti tine mabasa akarurama atakanga taita,+ asi pamusana petsitsi dzake),+ akatiponesa nekutigeza tikava vapenyu+ uye nekuita kuti tive vatsva kuburikidza nemweya mutsvene.+ 6 Akatidururira mweya iwoyo wakawanda achishandisa Jesu Kristu Muponesi wedu,+ 7 kuti pashure pekunge tanzi takarurama kuburikidza nenyasha dzake,+ tive vagari venhaka+ maererano netariro yeupenyu husingaperi.+

8 Mashoko aya ndeechokwadi uye ndinoda kuti urambe uchisimbisa nyaya idzi, kuti vaya vakatenda Mwari varambe vakaisa pfungwa dzavo pakuita zvakanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira vanhu.

9 Asi siyana nenharo dzisina basa uye nyaya dzemadzinza, kukakavadzana nekupopotedzana pamusoro peMutemo, nekuti hazvina zvazvinobatsira uye hazvina maturo.+ 10 Kana ari munhu anoparadzira dzidziso dzenhema,+ usashamwaridzana naye+ pashure pekunge wamutsiura* kekutanga nekechipiri,+ 11 uchiziva kuti munhu akadaro akatsauka munzira uye ari kutadza, achizvipa ega mhosva.

12 Pandichatuma Atemasi kana Tikiko+ kwauri, ita zvese zvaunogona kuti uuye tionane kuNikoporisi, nekuti ndiko kwandichange ndiri mwaka wese wechando. 13 Ipa Zenasi, uyo anonyatsoziva Mutemo, naAporo, zvese zvavanenge vachida, kuti vasava nechavanoshayiwa parwendo rwavo.+ 14 Asi vanhu vedu ngavadzidzewo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vakwanise kubatsira kana paine zviri kudiwa nekukurumidza,+ kuti varege kuva vasina zvibereko.+

15 Vese vandiinavo vari kukukwazisa. Ndikwazisirewo vaya vanotida mukutenda.

Nyasha dzaMwari ngadzive nemi mese.

Kana kuti “havadzoreki; vakapanduka.”

Shoko racho rechiGiriki rinoreva muranda akapiwa simba paimba yatenzi wake.

Kana kuti “asingarovi.”

Kana kuti “anobata zvakanaka vanhu vaasingazivi.”

Kana kuti “kurayira.”

Kana kuti “zvinopa utano; zvinobatsira.”

Kana kuti “inopa utano; inobatsira.”

Kana kuti “kuyeuchidza; kudzidzisa.”

Kana kuti “anopa utano.”

ChiGir., “atidzikinure; atinunure.”

Kana kuti “wamuyambira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe