RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 1 VaTesaronika 1:1-5:28
  • 1 VaTesaronika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 VaTesaronika
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 VaTesaronika

TSAMBA YEKUTANGA KUVATESARONIKA

1 Pauro, naSirivhano,*+ naTimoti,+ kuungano yevaTesaronika iri pamwe naMwari Baba naShe Jesu Kristu:

Nyasha dzaMwari nerugare ngazvive nemi.

2 Tinogara tichitenda Mwari patinotaura nezvenyu mese muminyengetero yedu,+ 3 nekuti tinogara tichiyeuka basa renyu ramunoita nekutenda, basa renyu rerudo, uye kutsungirira kwenyu kunobva patariro+ yamuinayo munaShe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari wedu uye Baba vedu. 4 Nekuti tinoziva kukusarudzai kwaakaita, imi hama dzinodiwa naMwari, 5 nekuti mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nekungotaurwa chete, asi akauyawo nesimba uye nemweya mutsvene tiine chokwadi chakasimba nezvataitaura, sezvo muchiziva kuti pataiva nemi takava vanhu vakaita sei kuti zvikubatsirei. 6 Uye imi makava vatevedzeri vedu+ nevaShe,+ sezvo makagamuchira shoko muri mumatambudziko+ muchifara nemweya mutsvene waiva mamuri, 7 zvekuti makava muenzaniso wakanaka kuvatendi vese vekuMakedhoniya nevekuAkaya.

8 Chokwadi ndechekuti, kugamuchira kwamakaita shoko raJehovha* hakuna kungonzwika kuMakedhoniya neAkaya chete, asi kutenda kwenyu muna Mwari kwapararira kwese kwese,+ zvekuti hatisisina chekutaura. 9 Nekuti ivo vanoramba vachitaura nezvekutanga kwatakaita kuonana nemi uye kutendeukira kuna Mwari kwamakaita muchibva kuzvidhori zvenyu+ kuti muve varanda vaMwari mupenyu uye wechokwadi, 10 uye kuti mumirire Mwanakomana wake achibva kudenga,+ waakamutsa kuvakafa, iye Jesu, anotinunura pahasha dziri kuuya.+

2 Hama, munonyatsoziva kuti kukushanyirai kwatakaita hakuna kushaya zvibereko.+ 2 Nekuti kunyange zvazvo takambotambura pakutanga uye takanyadziswa kuFiripi+ sezvamunoziva, takazvishingisa tichibatsirwa naMwari wedu kuti tikuudzei mashoko akanaka aMwari+ tichipikiswa zvakaoma.* 3 Nekuti zvatinokukurudzirai kuita hazvisi zvekukurasai uye hazvibvi papfungwa dzekusachena kana dzeunyengeri, 4 asi sezvo Mwari akati takakodzera kupiwa basa rekuzivisa mashoko akanaka, tinotaura tisingafadzi vanhu, asi Mwari, uyo anoongorora mwoyo yedu.+

5 Ndingatoti munoziva kuti hatina kumbobvira tashandisa mashoko ekubata kumeso kana kunyepedzera zvatisiri, tiine pfungwa dzemakaro;+ Mwari anotipupurira! 6 Uyewo hatina kumbotsvaga kukudzwa nevanhu, kungava kukudzwa nemi kana vamwewo, kunyange zvazvo sevaapostora vaKristu taigona kukuremedzai tichida kuchengetwa.+ 7 Panzvimbo pekudaro, taiva vanhu vanyoro pakati penyu, saamai vanoyamwisa vanorera vana vavo nerudo. 8 Saka sezvo taikudai zvikuru, takanga tisingadi kungokupai mashoko akanaka aMwari chete, asi taidawo kutokupai upenyu hwedu* pachedu,+ nekuti taikudai chaizvo.+

9 Hama, munonyatsoyeuka kushanda kwataiita tichifondoka. Taishanda siku nesikati, kuti pasava nemumwe wenyu+ watinoremedza achitichengeta pataikuparidzirai mashoko akanaka aMwari. 10 Imi munotipupurira uye Mwari anotipupurirawo kuti takanga takavimbika, takarurama uye tisina mhosva kwamuri imi vatendi. 11 Munonyatsoziva kuti takaramba tichikukurudzirai uye tichikunyaradzai, tichirayira mumwe nemumwe wenyu,+ sezvinoita baba+ kuvana vavo, 12 kuti murambe muchifamba zvakakodzera pamberi paMwari,+ ari kukudanai kuti muuye kuUmambo hwake+ nekubwinya kwake.+

13 Ndokusaka nesuwo tichiramba tichitenda Mwari,+ nekuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sezvariri chaizvo, seshoko raMwari, iro riri kushandawo mamuri imi vatendi. 14 Nekuti imi hama, makatevedzera ungano dzaMwari dziri pamwe naKristu Jesu dziri kuJudhiya, nekuti matambudziko amakasangana nawo muchitambudzwa nevanhu vemunyika menyu+ ndiwo avakasanganawo nawo vachitambudzwa nevaJudha, 15 avo vakatouraya kunyange naIshe Jesu+ nevaprofita, vakatitambudzawo isu.+ Uyezve, havasi kufadza Mwari, asi vanoita zvinopesana nevanhu vese, 16 pavanoedza kutitadzisa kutaura nevanhu vemamwe marudzi kuti vaponeswe.+ Pavanodaro vanenge vachizadzisa zvivi zvavo. Asi iye zvino hasha dzake dzazouya pavari.+

17 Asi patakanga taparadzaniswa nemi hama kwenguva pfupi chete, (panyama, kwete mumwoyo), chido chakasimba chataiva nacho chakaita kuti tiedze zvese zvataigona kuti tikuonei panyama. 18 Ndokusaka taida kuuya kwamuri; ini Pauro handina kungoedza kuuya kamwe chete asi kaviri, asi Satani akativhiringidza. 19 Nekuti hamusiri imi here tariro yedu kana mufaro kana korona yekupembera pamberi paShe wedu Jesu?+ 20 Chokwadi imi ndimi kukudzwa kwedu nemufaro wedu.

3 Saka patakanga tisingachagoni kutsungirira, takafunga kuti zvaiva nani kuti tirambe tiri muAtene tiri tega;+ 2 uye takatuma Timoti,+ hama yedu uye mushumiri waMwari* pakuparidza mashoko akanaka pamusoro paKristu, kuti akusimbisei nekukunyaradzai pakutenda kwenyu, 3 kuti parege kuva neanozununguswa nematambudziko aya. Nekuti imi munoziva kuti hatikwanisi kunzvenga matambudziko akadaro.*+ 4 Nekuti pataiva nemi, taiwanzokuudzai kuti taizosangana nematambudziko, saka izvi ndizvo zvazoitika, sezvamunoziva.+ 5 Ndokusaka pandakanga ndisingachagoni kutsungirira, ndakamutuma kuti ndinzwe nezvekutendeka kwenyu,+ ndichityira kuti pamwe Muedzi+ angangodaro akakuedzai, basa redu rikava pasina.

6 Asi Timoti achangobva kusvika achibva kwamuri+ uye atipa mashoko akanaka pamusoro pekutendeka kwenyu nerudo rwenyu, achiti munogara muchifunga nezvekufara kwataiita tiri tese uye kuti mune shungu dzekutiona sedzatiinadzowo. 7 Saka hama, takanyaradzwa panhamo dzedu dzese nematambudziko, patakanzwa nezvenyu uye kutendeka kwenyu.+ 8 Nekuti tinonzwa tasimbaradzwa* kana imi makamira zvakasimba munaShe. 9 Nekuti tingatenda sei Mwari pamusoro penyu nemufaro mukuru watiinawo pamberi paMwari nekuda kwenyu? 10 Siku nesikati tinonyengetera kuna Mwari tichiteterera nemwoyo wese kuti tikwanise kukuonaiwo panyama uye kuti tikuwedzerei pamuri kuperevedza pakutenda.+

11 Dai Mwari wedu uye Baba vedu naShe wedu Jesu vatibatsirawo kuti tikwanise kuuya kwamuri. 12 Uyezve, dai Ishe aita kuti rudo rwenyu ruwedzere uye rufashukire pakudanana kwamunoita+ uye pakuda kwamunoita vamwe vese, sekukudaiwo kwatinoita, 13 kuti asimbise mwoyo yenyu, irege kuva nechainopomerwa muutsvene pamberi paMwari+ wedu uye Baba vedu pakuvapo kwaShe wedu Jesu+ aine vatsvene vake vese.

4 Hama dzangu, regai ndipedzise nekuti, sekugamuchira kwamakaita murayiro wakabva kwatiri pamusoro pemafambiro amunofanira kuita kuti mufadze Mwari,+ zvinova ndizvo zvamuri kutoita, tinokukumbirai uye tinoteterera kwamuri nekunaShe Jesu kuti murambe muchiwedzera pane zvamuri kuita. 2 Nekuti munoziva mirayiro yatakakupai nekunaShe Jesu.

3 Nekuti kuda kwaMwari ndekwekuti muve vatsvene+ morega upombwe.*+ 4 Mumwe nemumwe wenyu anofanira kudzidza kudzora muviri*+ wake muutsvene+ nekukudzwa, 5 asingaratidzi makaro nekusazvidzora pakuda zvebonde+ sezvinoitwa nemamwe marudzi asingazivi Mwari.+ 6 Hapana anofanira kupfuura muganhu uye kutadzira hama yake panyaya iyi, nekuti Jehovha* acharangira vanhu zvinhu zvese izvi, sezvatakambokuudzai uye zvatakakuyambirai. 7 Nekuti Mwari haana kutidanira kusachena asi utsvene.+ 8 Saka anoshora izvi haasi kushora munhu, asi ari kushora Mwari,+ uyo anokupai mweya mutsvene wake.+

9 Asi kana iri nyaya yekudanana sehama,+ hatifaniri kutombokunyorerai, nekuti imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane.+ 10 Ndingatoti muri kuitira izvi hama dzese dziri muMakedhoniya yese. Asi tinokukurudzirai hama, kuti murambe muchiwedzera pane zvamuri kuita. 11 Vavarirai kugara makanyarara,+ muchisiyana nenyaya dzisinei nemi,+ moshanda nemaoko enyu,+ sezvatakakurayirai, 12 kuti mufambe zvinoyemurika kuvanhu vari kunze+ uye kuti musava nechamunoshayiwa.

13 Uyezve hama, tinoda kuti munzwisise nezvevaya vakarara murufu,+ kuti murege kusuruvara sezvinoita vamwe vasina tariro.+ 14 Nekuti kana tichitenda kuti Jesu akafa akamuka,+ Mwari achaunzawo vaya vakarara murufu muna Jesu.+ 15 Nekuti izvi ndizvo zvatinokuudzai neshoko raJehovha,* kuti isu vapenyu tinenge tichirarama pakuvapo kwaShe hatizombotangiri vakarara murufu; 16 nekuti Ishe pachake achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru+ nebhosvo raMwari, uye vaya vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka.+ 17 Pashure pacho isu vapenyu tinenge tichirarama, tichatorwa mumakore+ pamwe chete navo, kuti tisangane naShe+ mumhepo; saka tichazogara tiina Ishe.+ 18 Saka rambai muchinyaradzana nemashoko aya.

5 Hama, kana iri nyaya yenguva nemwaka, hamufaniri kutombonyorerwa chinhu. 2 Nekuti imi munonyatsoziva kuti zuva raJehovha*+ riri kuuya sembavha inouya usiku.+ 3 Pavanongoti, “Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” vachabva vangoparadzwa pakarepo vasingatarisiri,+ semauyiro anoita marwadzo emukadzi ane pamuviri ava kusununguka, uye havasi kuzopukunyuka. 4 Asi imi hama, hamusi murima, zvekuti zuva iroro ringakusvikirai sezvaringaita kumbavha, 5 nekuti mese muri vanakomana vechiedza nevanakomana vemasikati.+ Isu hatisi veusiku kana verima.+

6 Saka ngatiregei kuramba takarara sevamwe vese,+ asi ngatirambei takamuka,+ pfungwa dzedu dzichinyatsoshanda.+ 7 Nekuti vaya vanorara, vanorara usiku, uye vaya vanodhakwa, vanodhakwa usiku.+ 8 Asi kana tiri isu vemasikati, pfungwa dzedu ngadzirambe dzichinyatsoshanda uye ngatipfekei kutenda nerudo sechinhu chinovharidzira chipfuva, uye tariro yeruponeso sengowani+ 9 nekuti Mwari haana kutisarudza kuti atiitire hasha, asi kuti tiwane ruponeso+ naShe wedu Jesu Kristu. 10 Iye akatifira+ kuti pasinei nekuti taramba takamuka kana kuti takarara,* tinofanira kurarama pamwe chete naye.+ 11 Saka rambai muchikurudzirana* uye muchivakana,+ sezvamuri kutoita iye zvino.

12 Saka hama tinokukumbirai kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikudzidzisai; 13 uye kuti muvape rukudzo rukuru murudo nekuda kwebasa ravo.+ Garisanai nerugare.+ 14 Uyewo tinokukurudzirai hama, kuti muyambire vaya vanofamba zvisina kukodzera,+ munyaradze vaya vakaora mwoyo, mutsigire vasina simba, uye muitire mwoyo murefu vanhu vese.+ 15 Ivai nechokwadi chekuti hapana anotsiva chakaipa nechakaipa,+ asi garai muchiitirana zvakanaka uye muchizviitirawo vamwe vese.+

16 Garai muchifara.+ 17 Rambai muchinyengetera.+ 18 Tendai zvese zvamunoitirwa.+ Uku ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. 19 Musadzima moto wemweya.+ 20 Musashora uprofita.+ 21 Ivai nechokwadi nezvinhu zvese;+ batisisai zvinhu zvakanaka. 22 Musatomboita zvinhu zvese zvakaipa.+

23 Mwari werugare pachake ngaakutsvenesei zvakakwana. Uye mweya yenyu nemwoyo* yenyu nemiviri yenyu hama, ngazvirambe zvakakwana muzvese, zvisina pazvinoshoreka pakuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu.+ 24 Iye ari kukudanai akatendeka, uye achatozviita.

25 Hama, rambai muchitinyengeterera.+

26 Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene.

27 Ndiri kukutetererai muzita raShe kuti muverengere tsamba ino hama dzese.+

28 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

Anonziwo Sirasi.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Dzimwe shanduro dzinoti, “tichitambudzika zvikuru.”

Kana kuti “mweya yedu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “uyo anoshanda pamwe naMwari.”

Kana kuti “takagadzwa kuti tisangane nawo.”

ChiGir., “tinorarama.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “mudziyo.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “takarara murufu.”

Kana kuti “muchinyaradzana.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe