TSAMBA KUVAKOROSE
1 Pauro, muapostora waKristu Jesu maererano nekuda kwaMwari, naTimoti+ hama yedu, 2 kuvatsvene nehama dzekuKorose dzakatendeka dziri pamwe naKristu:
Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu ngazvive nemi.
3 Tinogara tichitenda Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu patinokunyengetererai, 4 sezvo takanzwa nezvekutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye kuda kwamunoita vatsvene vese 5 nekuda kwetariro yezvamakachengeterwa kudenga.+ Makanzwa nezvetariro iyi pamakaudzwa chokwadi chemashoko akanaka 6 akauya kwamuri. Sezvo mashoko akanaka ari kuva nezvibereko uye ari kuwedzera munyika yese,+ ndizvo zvaari kuitawo pakati penyu kubvira musi wamakanzwa uye wamakanyatsoziva nyasha dzaMwari muchokwadi. 7 Ndizvo zvamakadzidza kuhama yedu inodiwa uye yakatendeka, Epafrasi,+ anoshumira semuranda waKristu achitimiririra. 8 Akatiudzawo nezverudo rwamunoratidza maererano nemweya.*
9 Ndokusaka isuwo kubvira pazuva ratakanzwa nezvazvo, tisina kumborega kukunyengetererai+ uye kukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwakarurama+ pamusoro pekuda kwake muuchenjeri hwese nemukunzwisisa zvinhu zvemweya,+ 10 kuti mufambe zvinokodzerana nezita raJehovha,* kuti munyatsomufadza sezvo muchiramba muchibereka zvibereko mumabasa ese akanaka uye muchiwedzera paruzivo rwakarurama pamusoro paMwari;+ 11 uye simbiswai nesimba rese maererano nesimba rake rinokudzwa+ kuti mukwanise kutsungirira zvinhu zvese muine mwoyo murefu nemufaro, 12 muchitenda Baba, vakaita kuti muve vakakodzera kuwana nhaka pamwe nevatsvene+ vakavhenekerwa nechiedza.
13 Iye akatinunura pasimba rerima,+ akatipinza muumambo hweMwanakomana wake anodiwa, 14 uyo anoshandiswa kutisunungura nerudzikinuro, urwo runoita kuti tiregererwe zvivi zvedu.+ 15 Iye ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki,+ dangwe rezvisikwa zvese;+ 16 nekuti pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa kudenga nepanyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki,+ zvingava zvigaro zveumambo kana ushe kana hurumende kana vanhu vane masimba. Zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa pachishandiswa iye+ uye zvakasikirwa iye. 17 Uyewo, akavapo zvimwe zvinhu zvese zvisati zvavapo,+ uye zvimwe zvinhu zvese zvakavapo pachishandiswa iye, 18 uye ndiye musoro wemuviri, iyo ungano.+ Ndiye wekutanga, dangwe kubva kuvakafa,+ kuti ave wekutanga muzvinhu zvese; 19 nekuti Mwari akafadzwa nekuita kuti kuzara kwese kugare maari,+ 20 uye kuti amushandise kuyanana nezvimwe zvinhu zvese+ nekuita kuti ave nerugare nazvo kuburikidza neropa+ raakadeura padanda rekutambudzirwa,* zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga.
21 Imi maimbova makaparadzaniswa naMwari muri vavengi vake nekuti pfungwa dzenyu dzaiva pamabasa akaipa, 22 iye zvino akazviyananisa nemi achishandisa muviri wenyama waiyeye nerufu rwake, kuti akuunzei pamberi pake muri vatsvene, musina pakakanganisika uye musina chamunopomerwa,+ 23 ndokunge imi maramba muri pakutenda,+ makanyatsogara pafaundesheni+ uye makasimba,+ musingabviswi patariro yemashoko akanaka amakanzwa uye akaparidzirwa zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.+ Ini Pauro ndakava mushumiri wemashoko akanaka iwaya.+
24 Iye zvino ndava kufara pakutambura kwandiri kuita pamusana penyu,+ uye ndiri kusangana nekutambura kwaKristu uko kusati kwaitika zvakakwana panyama yangu kuti ndibatsire muviri wake,+ iyo ungano.+ 25 Ndakashumira ungano iyi maererano neutariri+ hwakabva kuna Mwari hwandakapiwa, kuti zvikubatsirei, kuti ndinyatsoparidza shoko raMwari, 26 chakavanzika chitsvene*+ chakanga chakavanzwa kubvira nguva dzekare+ uye kuzvizvarwa zvakapfuura. Asi iye zvino chakaiswa pachena kuvatsvene vake,+ 27 avo Mwari akafarira kuzivisa pakati pemamwe marudzi pfuma inokudzwa yechakavanzika chitsvene,+ iyo inoreva Kristu ari pamwe nemi, tariro yekukudzwa pamwe naye.+ 28 Ndiye watiri kuzivisa vanhu nezvake, tichikurudzira uye tichidzidzisa munhu wese neuchenjeri hwese, kuti tiunze munhu wese ari pamwe naKristu, akakwana.+ 29 Ndiri kushanda nesimba nechinangwa ichi, ndichirwisa zvakaomarara ndichibatsirwa nesimba rake riri kushanda zvikuru mandiri.+
2 Nekuti ndinoda kuti muzive kuti ndiri kukurwirai zvakadii imi nevaya vari kuRaodhikiya+ nevamwe vese vandisati ndamboonana navo.* 2 Ndiri kuzviitira kuti mwoyo yavo inyaradzwe+ uye kuti vanyatsobatanidzwa pamwe chete murudo+ uye vave nepfuma yese inobva pakunyatsogutsikana nekunzwisisa kwavo, kuti vawane ruzivo rwakarurama rwechakavanzika chitsvene* chaMwari, kureva, Kristu.+ 3 Pfuma yese yeuchenjeri neyeruzivo yakanyatsovanzwa maari.+ 4 Ndiri kutaura izvi kuti pasava nemunhu angakunyengerai nemashoko ekunyengetedza. 5 Kunyange ndisipo mumuviri, ndinemi mumweya, ndichifara kuona kurongeka kwenyu+ uye kutenda kwakasimba kwamuinako muna Kristu.+
6 Saka sekugamuchira kwamakaita Kristu Jesu Ishe, rambai muchifamba muri pamwe naye, 7 makadzika midzi, muchivakwa maari+ uye muchisimbiswa pakutenda,+ sekudzidziswa kwamakaitwa, uye muchifashukira nekuonga.+
8 Chenjerai kuti pasava nemunhu anokutorai senhapwa* achishandisa uchenjeri hwenyika neunyengeri+ husina zvahunobatsira maererano netsika dzevanhu, maererano nezvinhu zvekutanga zvenyika, kwete maererano naKristu; 9 nekuti maari ndimo makazara zvese zvakaita Mwari.+ 10 Saka imi makava vakazara kuburikidza naye, uya ari musoro wehurumende dzese nemasimba.+ 11 Sezvo imi muri pamwe naye, makachecheudzwawo nekuchecheudzwa kusingaitwi nemaoko asi kwekubvisa muviri wenyama,+ kuchecheudzwa kune chekuita naKristu.+ 12 Nekuti makavigwa pamwe chete naye murubhabhatidzo rwake,+ uye sezvo muri pamwe naye makamutswawo+ pamwe naye nekutenda kwenyu mumabasa esimba aMwari, uyo akamumutsa kuvakafa.+
13 Uyezve, kunyange zvazvo makanga makafa pakudarika kwenyu uye pakusachecheudzwa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti muve vapenyu pamwe chete naye.+ Iye akatinzwira tsitsi akatiregerera kudarika kwedu kwese,+ 14 akadzima rugwaro rwakanyorwa nemaoko+ rwaiva nemirayiro+ uye rwaipesana nesu.+ Akarubvisa nekururoverera padanda rekutambudzirwa.*+ 15 Achirishandisa,* akakunda hurumende nevanhu vane masimba,+ akavamisa pamberi peruzhinji achifamba ari pamberi pavo vakaita mudungwe achiratidza kuti avakunda.
16 Saka ngaparege kuva nemunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya uye zvamunonwa+ kana panyaya yekuchengeta mutambo kana kugara kwemwedzi+ kana sabata.+ 17 Zvinhu izvozvo mumvuri wezvichauya,+ asi muviri wacho ndewaKristu.+ 18 Ngaparege kuva nemunhu anokutadzisai kuwana mubayiro,+ anofadzwa nekuzvininipisa kwekunyepedzera uye kunamatwa kwengirozi, “achimira”* pazvinhu zvaakaona. Kufunga kwenyama kwemunhu iyeye ndiko kunoita kuti azvitutumadze pasina chikonzero chaicho, 19 uye haabatiriri kumusoro,+ kune uya anoita kuti muviri wese uwane zvaunoda uye unyatsobatanidzwa pamwe chete nemarunda* anobatanidza mapfupa woitwa kuti ukure nesimba raMwari.+
20 Kana makafa pamwe chete naKristu pazvinhu zvekutanga zvenyika,+ nei muchirarama sekunge muchiri venyika, muchiramba muchizviisa pasi pemirayiro inoti:+ 21 “Musabata, kana kuravira, kana kugunzva,” 22 muchitaura nezvezvinhu zvinoparara zvese kana zvashandiswa, maererano nemirayiro nedzidziso zvevanhu?+ 23 Kunyange zvazvo zvinhu izvozvo zvichiita sezvine uchenjeri mumanamatiro avo ekuzvisarudzira vega nekuzvininipisa kwekunyepedzera, vachizvirwadzisa muviri,+ hazvina simba rekukunda kuchiva kwenyama.
3 Asi kana makamutswa pamwe chete naKristu,+ rambai muchitsvaga zvinhu zviri kumusoro, kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.+ 2 Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro,+ kwete pazvinhu zviri panyika.+ 3 Nekuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavanzwa pamwe chete naKristu muri pamwe naMwari. 4 Kristu, anova ndiye upenyu hwedu,+ paanoratidzwa pachena, imiwo mucharatidzwa pachena pamwe chete naye mukubwinya.+
5 Saka urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika+ pazvinhu zvakadai seupombwe,* kusachena, chishuwo chisingadzorwi chekuda zvebonde,+ kushuva zvakaipa, uye kuva nemakaro, kunova kunamata zvidhori. 6 Hasha dzaMwari dziri kuuya pamusana pezvinhu izvi. 7 Imi maimbozvibatawo saizvozvo* mumararamiro enyu ekare.+ 8 Asi iye zvino munofanira kubvisa pamuri zvese zvinoti: hasha, kutsamwa, uipi,+ kutuka,+ uye kutaura nemiromo yenyu mashoko anonyadzisira.+ 9 Musareverana nhema.+ Pfekenurai unhu hwekare*+ nemabasa ahwo, 10 mupfeke unhu hutsva,+ huri kuitwa hutsva kuburikidza neruzivo rwakarurama maererano nemufananidzo weuya akahusika,+ 11 pasina kuti kune muGiriki kana muJudha, kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa, mutorwa, muSitiya,* muranda, kana munhu akasununguka; asi Kristu ndiye zvinhu zvese uye ari mavari vese.+
12 Saka sevanhu vaMwari vakasarudzwa,+ vatsvene uye vanodiwa, pfekai rudo rwakadzama muchinzwirana tsitsi,+ mutsa, kuzvininipisa,*+ unyoro,+ nemwoyo murefu.+ 13 Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese*+ kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.+ Sezvo Jehovha* akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.+ 14 Asi kuwedzera pazvinhu izvi, pfekai rudo,+ nekuti irwo chisungo chakakwana chekubatana.+
15 Uyewo, rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo menyu,+ nekuti makashevedzerwa rugare irworwo mumuviri mumwe chete. Uye ratidzai kuti muri vanhu vanoonga. 16 Shoko raKristu ngarinyatsogara mamuri muuchenjeri hwese. Rambai muchidzidzisana uye muchikurudzirana* nemapisarema,+ nenziyo dzekurumbidza Mwari, nenziyo dzemweya dzinoimbwa muchionga, muchiimbira Jehovha* mumwoyo menyu.+ 17 Zvese zvamunotaura kana kuita, zviitei zvese muzita raShe Jesu, muchionga Mwari Baba nekwaari.+
18 Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu,+ sezvo zviri izvo zvakakodzera munaShe. 19 Imi varume, rambai muchida madzimai enyu+ uye musaashatirirwa.*+ 20 Imi vana, teererai vabereki venyu nguva dzese,+ nekuti izvi zvinofadza Ishe zvikuru. 21 Imi vanababa, musashungurudza* vana venyu,+ kuti varege kuora mwoyo. 22 Imi varanda, teererai vanatenzi venyu panyama nguva dzese,+ kwete chete pavanenge vachikuonai, muchingoitira kufadza vanhu, asi nemwoyo wese, muchitya Jehovha.* 23 Zvese zvamunoita, zviitei nemweya* wese sekunge muri kuitira Jehovha,*+ kwete vanhu, 24 nekuti munoziva kuti Jehovha* ndiye achakupai nhaka semubayiro.+ Shandirai Tenzi, iye Kristu. 25 Uya anoita zvakaipa achatowana mubayiro wake wezvakaipa zvaakaita,+ uye hapana rusarura.+
4 Imi vanatenzi, batai varanda venyu zvakanaka uye zvakarurama, muchiziva kuti nemiwo muna Tenzi ari kudenga.+
2 Rambai muchinyengetera,+ uye pamunenge muchidaro, rambai makamuka uye ongai.+ 3 Nesuwo muchitinyengetererawo,+ kuti Mwari ativhurire suo rekuparidza shoko kuti tizivise nezvechakavanzika chitsvene* pamusoro paKristu, chinova ndicho chandakaisirwa mujeri,+ 4 uye kuti ndichizivise zvakajeka sezvandinofanira kuita.
5 Rambai muchifamba nekuchenjera pamunenge muine vaya vari kunze, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.*+ 6 Nguva dzese mashoko enyu ngaaratidze mutsa, akarungwa nemunyu,+ kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita munhu mumwe nemumwe.+
7 Tikiko,+ hama yangu inodiwa nemushumiri akatendeka uye muranda waShe seniwo, achakuudzai zvese nezvangu. 8 Ndiri kumutuma kwamuri kuti muzive kuti takadii uye kuti anyaradze mwoyo yenyu. 9 Ari kuuya naOnisimo,+ hama yangu yakatendeka uye inodiwa, inobva kwenyu ikoko; vachakuudzai zvese zviri kuitika kuno.
10 Aristako,+ musungwawo seni, anokukwazisai, vese naMako+ hama yaBhanabhasi, uyo wamakaudzwa kuti kana azouya kwamuri mumugamuchire,+ 11 naJesu, uyo anonzi Justo. Ava vamwe vevaya vakachecheudzwa. Ndivo chete vari kushanda neni pakutsigira Umambo hwaMwari, uye vari kundinyaradza* zvikuru. 12 Epafrasi,+ muranda waKristu Jesu, uyo akabva kwenyu ikoko, anokukwazisai. Anogara achikunyengetererai nemwoyo wese, kuti mupedzisire manyatsokwana, muchitenda zvakasimba zvese zvine chekuita nekuda kwaMwari. 13 Nekuti ndinomupupurira kuti anoshanda nesimba chaizvo achiitira imi nevaya vari kuRaodhikiya nekuHiraporisi.
14 Ruka,+ chiremba anodiwa, anokukwazisai, vese naDhemasi.+ 15 Ndikwazisireiwo hama dziri kuRaodhikiya naNimufa neungano inosanganira pamba pake.+ 16 Kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, rongai kuti iverengwewo+ muungano yevaRaodhikiya, imi moverengawo inobva kuRaodhikiya. 17 Uyewo, udzai Akipasi+ kuti: “Isa pfungwa dzako paushumiri hwawakagamuchira munaShe, wonyatsohuita.”
18 Iyi ndiyo kwaziso yangu ini Pauro, yandanyora neruoko rwangu.+ Rambai muchifunga nezveusungwa hwangu.+ Nyasha dzaMwari ngadzive nemi.
ChiGir., “nezverudo rwenyu mumweya.”
ChiGir., “vasati vamboona chiso changu panyama.”
Kana kuti “anoenda nemi semhuka yake yaabata.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Achimushandisa.”
Shoko iri rakatorwa patsika dzisinganzwisiswi dzaiitwa nevahedheni munhu paanenge ava kugadzwa kuti ava munamati wavanamwari vavo.
Kana kuti “nemadzira.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Aya ndiwo mafambiro amaimboitawo.”
ChiGir., “munhu wekare.”
Shoko rekuti “muSitiya” raishandiswa kuvanhu vaionekwa sevakasaririra.
Kana kuti “kuzvirereka.”
Kana kuti “muchingoregererana.”
Kana kuti “muchirayirana.”
Kana kuti “musaabata nehasha.”
Kana kuti “musatsamwisa.”
ChiGir., “muchitenga nguva yakakodzera.”
Kana kuti “kundisimbisa.”