RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt VaFiripi 1:1-4:23
  • VaFiripi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaFiripi
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaFiripi

TSAMBA KUVAFIRIPI

1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vese vari pamwe naKristu Jesu vari muFiripi,+ pamwe chete nevatariri nevashumiri veungano:+

2 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

3 Ndinogara ndichitenda Mwari wangu pandinofunga nezvenyu, 4 pandinokunyengetererai mese ndichiteterera. Pese pandinoteterera ndinenge ndichifara,+ 5 nekuti makatsigira mashoko akanaka* kubvira pazuva rekutanga kusvikira iye zvino. 6 Nekuti ndine chokwadi chekuti uya akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa,+ kusvikira pazuva raKristu Jesu.+ 7 Handingamboregi kufunga zvakadai nezvenyu mese, sezvo muri pamwoyo pangu, uye muri imi makava neni pandakaratidzwa nyasha pazvisungo zvangu zvemujeri+ uye pakutsigira mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.+

8 Nekuti Mwari anondipupurira kuti ndinokusuwai mese nerudo rwakadzama serwaKristu Jesu. 9 Uye ndinoramba ndichinyengeterera kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowedzera+ neruzivo rwakarurama+ uye kuti munyatsova neungwaru;+ 10 kuti muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe,+ musina chamunopomerwa uye musingagumburi vamwe+ kusvikira pazuva raKristu; 11 uye kuti muzadzwe nechibereko chakarurama, kuburikidza naJesu Kristu,+ kuti Mwari akudzwe uye arumbidzwe.

12 Hama ndinoda kuti muzive kuti zviri kuitika kwandiri zvatozoita kuti mashoko akanaka afambire mberi, 13 zvekuti kusungwa+ kwangu nekuda kwaKristu kwava kuzivikanwa+ neVarindi veMuzinda waMambo vese nevamwe vanhu vese. 14 Hama dzakawanda munaShe dzava nechivimbo pamusana pekusungwa kwandakaitwa, uye dzava kutonyanya kuratidza ushingi pakutaura shoko raMwari dzisingatyi.

15 Ichokwadi kuti vamwe vari kuparidza Kristu negodo nemakwikwi, asi vamwe nechinangwa chakanaka. 16 Vaya vari kuparidza nechinangwa chakanaka vari kuzivisa Kristu zvichibva parudo, nekuti vanoziva kuti ndakagadzwa kuti nditsigire mashoko akanaka;+ 17 asi vamwe vacho vanozviita zvisingabvi pamwoyo, vachikakavara, nekuti vari kuda kundidenhera matambudziko ndakasungwa kudai. 18 Zviri kuzoguma nei? Pangava pari kuparidzwa nechinangwa chisiri icho kana kuti pachokwadi, Kristu ari kuziviswa, uye ndiri kufadzwa nazvo. Ndingatoti ndicharamba ndichifara, 19 nekuti ndinoziva kuti izvi zvichaita kuti ndiponeswe nekunyengetera kwenyu muchiteterera+ uye kutsigirwa nemweya waJesu Kristu.+ 20 Izvi zvinoenderana nechido chakasimba chandiinacho uye tariro yekuti handina chandichanyara nacho, asi kuti ndichitaura ndakasununguka, Kristu achakudzwa iye zvino, sezvaagara achiitwa, kuburikidza nemuviri wangu, mungava mukurarama kana murufu.+

21 Nekuti kwandiri, kurarama ndiKristu,+ uye kufa kupfuma.+ 22 Kana kuri kuramba ndichirarama panyama, izvi ndizvo zvibereko zvebasa rangu; asi handitauri kuti ndichasarudza chipi. 23 Ndiri kushaya kuti ndosarudza chipi pazviviri izvi, nekuti ndinoda kusunungurwa uye kuva naKristu,+ izvo zvandiine chokwadi kuti ndizvo zviri nani.+ 24 Asi zvakatonaka kuti ndirambe ndiripo panyama kuti zvikubatsirei. 25 Saka sezvo ndiine chivimbo nazvo, ndinoziva kuti ndicharamba ndiripo uye ndiinemi mese kuti mufambire mberi uye muve nemufaro pakutenda kwenyu, 26 kuti mufaro wenyu ufashukire muna Kristu Jesu pamusana pangu pandinenge ndiinemi zvakare.

27 Chamuri kufanira kungoita chete kuzvibata zvinoenderana nemashoko akanaka pamusoro paKristu,+ kuti kunyange ndikauya ndokuonai kana kuti kana ndikasavapo, ndinzwe nezvenyu kuti makamira makasimba mumafungiro mamwe chete, uye mweya mumwe chete,*+ muchishanda nesimba pamwe chete nekuda kwekutenda kwemashoko akanaka, 28 musingambotyi vanokupikisai. Ichi chiratidzo chekuti ivo vachaparadzwa,+ asi imi muchaponeswa;+ uye izvi zvinobva kuna Mwari. 29 Nekuti makakomborerwa nekupiwa basa raKristu, kuti musangotenda maari chete, asiwo kuti mutambure nekuda kwake.+ 30 Nekuti hondo yamuri kusangana nayo yakafanana neyamakaona ndichisangana nayo,+ yamuri kunzwa kuti ndichiri mairi.

2 Saka kana paine kukurudzira kwamunogona kuita muna Kristu, kana paine kunyaradzana kwerudo, kana paine kuwadzana kwemweya, kana paine rudo rwakadzama netsitsi, 2 zadzisai mufaro wangu nekuva nemafungiro mamwe chete uye nekuva nerudo rumwe chete, makanyatsobatana,* muchiva nekufunga kumwe chete.+ 3 Musaita zvinhu muchikakavadzana+ kana kuzvikudza,+ asi zvininipisei* muchiona vamwe sevakuru kwamuri,+ 4 musingangofungi zvakakunakirai chete,+ asi zvakanakirawo vamwe.+

5 Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu,+ 6 uyo, kunyange zvazvo aiva mumufananidzo waMwari,+ haana kutombobvira ava nepfungwa yekuda kuzviona seakaenzana naMwari.+ 7 Haana kudaro, asi akazvidurura, akava semuranda,+ akava munhu.*+ 8 Kupfuura izvozvo, paakauya semunhu,* akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu,+ rufu padanda rekutambudzirwa.*+ 9 Nechikonzero ichi, Mwari akamukwidziridza pachinzvimbo chepamusoro,+ akamuratidza mutsa nekumupa zita rinopfuura mamwe mazita ese,+ 10 kuti muzita raJesu mabvi ese apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu,+ 11 uye kuti rurimi rwese rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiShe+ kuti Mwari Baba vakudzwe.

12 Saka vadiwa vangu, rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera, sekuteerera kwamagara muchiita, kwete pandinenge ndiripo chete asi kunyanya iye zvino pandisipo. 13 Nekuti Mwari, sezvo zvichimufadza, ndiye ari kukupai simba, achikupai chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita. 14 Rambai muchiita zvinhu zvese musinganyunyuti+ uye musingaitirani nharo,+ 15 kuti muve vasina chavanopomerwa uye vasina mhosva, vana vaMwari+ vasina kana ruvara pakati pechizvarwa chisina kururama, chakamonyana,+ chamuri kupenya pakati pacho sezviedza munyika,+ 16 muchiramba makabatisisa shoko reupenyu.+ Ndinobva ndava nechikonzero chekufara pazuva raKristu, ndichiziva kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira zvakaoma pasina. 17 Asi kunyange ndiri kudururwa semupiro wechinwiwa+ pamusoro pechibayiro+ nepabasa dzvene, iro ramakatungamirirwa kwariri nekutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mese. 18 Nemiwo munofanira kufara uye kufarisisa neni.

19 Iye zvino ndiri kutarisira kuti, kana Ishe Jesu achida, nditume Timoti+ kwamuri nekukurumidza, kuti ndizokurudzirwa pandichanzwa nezvenyu. 20 Nekuti handina mumwezve ane mwoyo wakaita sewake, ane hanya nemi panyaya dzinokunetsai. 21 Nekuti vamwe vese vari kutsvaga zvakangovanakira, kwete zvaJesu Kristu. 22 Asi imi munoziva kuti akaratidza kuti akatendeka, akashanda neni kufambisira mberi mashoko akanaka semwana+ ari kushanda nababa vake. 23 Saka ndiye wandiri kutarisira kutuma kana ndangoona kuti zvinhu zvichandifambira sei. 24 Ini wacho ndine chivimbo kuti kana Ishe achida, ndichauyawo nekukurumidza.+

25 Asi iye zvino ndaona zvakanaka kuti nditume Epafrodhito, hama yangu uye mumwe wangu wandinoshanda naye uye murwi anorwa pamwe neni, ariwo nhume yenyu nemubatsiri wangu pane zvandinoda,+ 26 sezvo aine shungu dzekukuonai mese uye akasuruvara nekuti makanzwa kuti akanga achirwara. 27 Akarwara zvekuda kufa; asi Mwari akamunzwira tsitsi, kwete iye chete, asi neniwo, kuti ndirege kuwedzera kurwadziwa ini ndagara ndichitorwadziwa. 28 Ndokusaka ndiri kumutuma zvechimbichimbi, kuti pamunomuona mufare zvakare uye iniwo ndirege kunyanya kuzvidya mwoyo. 29 Saka mutambirei nemufaro mukuru sezvamagara muchiita vateveri vaShe, uye rambai muchikoshesa vanhu vakadaro,+ 30 nekuti akapotsa afira basa raKristu,* achiisa upenyu hwake* pangozi kuti andiitire mabasa achitsiva imi makanga musipo.+

3 Saka hama dzangu, rambai muchifara munaShe.+ Hazvindinetsi kukunyorerai zvinhu zvandakambokunyorerai, uye zvinotokuchengetedzai.

2 Chenjererai imbwa; chenjererai vaya vanokuvadzisa; chenjererai vaya vanocheka nyama.+ 3 Nekuti ndisu takanyatsochecheudzwa,+ isu vari kuita basa dzvene nemweya waMwari uye vanozvirumbidza muna Kristu Jesu,+ tisingavimbi nenyama. 4 Kana paine munhu ane zvikonzero zvekuvimba nenyama, chokwadi ndini.

Kana mumwe munhu achifunga kuti ane zvikonzero zvekuvimba nenyama, ini ndinotomupfuura: 5 ndakachecheudzwa pazuva rechi8,+ ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru akaberekwa nevaHebheru;+ panyaya yemutemo, ndiri muFarisi;+ 6 panyaya yekushingaira, ndaitambudza ungano;+ panyaya yekururama kunobva pamutemo, ndaiva munhu asina chaanopomerwa. 7 Asi zvinhu zvandaiona sepfuma, ndakazozviona sekurasikirwa* nekuda kwaKristu.+ 8 Uyewo ndinoona zvinhu zvese sekurasikirwa kana ndichienzanisa neruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu rune ukoshi hwepamusorosoro. Ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvese nekuda kwake uye ndinozviona semarara, kuti ndiwane Kristu 9 uye kuti ndiwanikwe ndiri pamwe naye, kwete pamusana pekururama kunobva pakutevedzera Mutemo, asi kururama kunovapo kuburikidza nekutenda+ muna Kristu,+ kururama kunobva kuna Mwari kwakavakirwa pakutenda.+ 10 Chinangwa changu ndechekuti ndimuzive nesimba rekumuka kwake+ uye kuti nditambure pamwe naye,+ ndichibvuma rufu rwakafanana nerwake,+ 11 kuti ndione kana zvichiita kuwana mukana wekumutswa kuvakafa parumuko rwekutanga.+

12 Hakusi kuti ndatouwana kana kuti ndatoitwa munhu akakwana, asi ndiri kuvavarira+ kuti ndione kana ndingakwanisa kubatawo chacho chakaita kuti Kristu Jesu andisarudze.+ 13 Hama, handioni sendatoubata; asi chinhu chimwe chete chandiine chokwadi nacho ndechekuti: Ndinokanganwa zvinhu zviri shure,+ ndosveerera zvinhu zviri mberi,+ 14 ndichivavarira kuti ndiwane mubayiro+ wekudanwa kumusoro+ naMwari achishandisa Kristu Jesu. 15 Saka isu tese tine kutenda kwakasimba+ ngativei nemafungiro akadai, uye kana muine mamwe mafungiro akasiyana neaya pane dzimwewo nyaya, Mwari achakuratidzai mafungiro ari pamusoro apa. 16 Asi kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.

17 Hama, ivai vatevedzeri vangu makabatana,+ uye rambai makatarisa vaya vari kufamba maererano nemuenzaniso watakakuratidzai. 18 Nekuti kune vakawanda vari kufamba sevavengi vedanda rekutambudzirwa* raKristu. Ndaigara ndichitaura nezvavo kakawanda, asi iye zvino ndava kutaura nezvavo ndichichema. 19 Kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, kukudzwa kwavo kunotova kunyara kwavo, uye pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyika.+ 20 Asi isu tiri vagari+ vekudenga,+ uye takamirira nemwoyo wese muponesi anobva ikoko, Ishe Jesu Kristu,+ 21 uyo achachinja muviri wedu usina simba kuti ufanane nemuviri wake unokudzwa+ kuburikidza nesimba rake guru iro rinoita kuti akwanise kuisa zvinhu zvese pasi pake.+

4 Saka imi hama dzangu dzandinoda uye dzandinosuwa, mufaro wangu nekorona yangu,+ mirai munaShe makasimba+ saizvozvo, vadiwa.

2 Ndinokurudzira Yudhiya naSindike kuti vave nekufunga kwakafanana munaShe.+ 3 Ndinokukumbirawo, iwe mumwe wangu akatendeka wandinoshanda naye, kuti urambe uchibatsira vakadzi ava vakashanda nesimba pamwe chete neni nekuda kwemashoko akanaka, pamwe chete naKremendi nevamwe vese vandinoshanda navo, vane mazita ari mubhuku reupenyu.+

4 Garai muchifara munaShe. Ndinoti zvakare, Farai!+ 5 Kunzwisisa kwenyu+ ngakuzivikanwe nevanhu vese. Ishe ari pedyo. 6 Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho,+ asi panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga;+ 7 uye rugare+ rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu+ nepfungwa dzenyu kuburikidza naKristu Jesu.

8 Hama dzangu, regai ndipedzise nekuti, zvinhu zvese zvechokwadi, zvinhu zvese zvinokosha, zvinhu zvese zvakarurama, zvinhu zvese zvakachena, zvinhu zvese zvinodiwa, zvinhu zvese zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvinhu zvese zvakanaka, uye zvinhu zvese zvinorumbidzwa, rambai muchifungisisa* zvinhu izvi.+ 9 Rambai muchiita zvinhu zvamakadzidza uye zvamakagamuchira nezvamakanzwa nekuona ndichiita,+ uye Mwari werugare achava nemi.

10 Ndinofara kwazvo munaShe kuti iye zvino pakupedzisira matangazve kuva nehanya neni.+ Kunyange zvazvo maiva nehanya neni, maishaya mukana wekuzviratidza. 11 Handisi kutaura izvi nekuti pane zvandiri kushayiwa, nekuti ndakadzidza kugutsikana, pasinei nekuti zvinhu zvakandimirira sei.+ 12 Ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvishoma+ kana kuva nezvakawanda. Mumamiriro ezvinhu ese zvawo ndakadzidza zvazvinoreva kuguta kana kuva nenzara, uye kuva nezvakawanda kana kushayiwa. 13 Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.+

14 Kunyange zvakadaro, makagona pamakava neni mumatambudziko angu. 15 Ndingatoti, imi vaFiripi munozivawo kuti pamakatanga kudzidza mashoko akanaka, pandakabva kuMakedhoniya, hapana imwe ungano kunze kwenyu yakabatana neni panyaya yekupa nekugamuchira;+ 16 nekuti pandaiva kuTesaronika, imi makatumira zvinhu zvekundibatsira pane zvandaishayiwa, kwete kamwe chete asi kaviri. 17 Hakusi kuti ndiri kuda kupiwa chipo, asi kuti ndiri kuda zvibereko zvichawedzera pfuma yenyu. 18 Asi ndine zvese zvandinoda uye zvakatowanda. Zvese ndava nazvo sezvo ndakagamuchira zvamakatumira naEpafrodhito,+ kunhuhwirira kwakanaka,+ chibayiro chinogamuchirika, chinonyatsofadza Mwari. 19 Mwari wangu, uyo ane pfuma yakawanda, achakupaiwo zvese zvamunoda+ kuburikidza naKristu Jesu. 20 Saka Mwari wedu uye Baba vedu ngavakudzwe nariini nariini. Ameni.

21 Ndikwazisireiwo vatsvene vese vari pamwe naKristu Jesu. Hama dzandiinadzo dzinokukwazisai. 22 Vatsvene vese, kunyanya veimba yaKesari,+ vanokukwazisai.

23 Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzishande pamafungiro enyu.

Kana kuti “nezvamakaita kuti mashoko akanaka afambire mberi.”

Kana kuti “makabatana.”

Kana kuti “makabatanidzwa mumweya.”

Kana kuti “zvirerekei.”

ChiGir., “akava mumufananidzo wemunhu.”

ChiGir., “paakawanikwa ari muchimiro chemunhu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “basa raShe.”

Kana kuti “mweya wake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ndakasarudza kuzvirasa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “muchifunga.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe