RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt VaEfeso 1:1-6:24
  • VaEfeso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaEfeso
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaEfeso

TSAMBA KUVAEFESO

1 Pauro, muapostora waKristu Jesu maererano nekuda kwaMwari, kuvatsvene vari muEfeso+ vakatendeka vari pamwe naKristu Jesu:

2 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

3 Mwari ngaarumbidzwe iye Baba vaShe wedu Jesu Kristu, nekuti akatikomborera nezvikomborero zvese zvemweya munzvimbo dzekudenga pamwe naKristu,+ 4 sezvo akatisarudza kuti tive pamwe naye* nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina chavanopomerwa+ pamberi pake murudo. 5 Nekuti akagara atigadza+ kuti titorwe sevanakomana vake+ achishandisa Jesu Kristu, maererano nezvinomufadza uye kuda kwake,+ 6 kuti arumbidzwe nekuda kwenyasha+ dzake dzinokudzwa dzaakatiitira achishandisa uya waanoda.+ 7 Naye tinosunungurwa nerudzikinuro kuburikidza neropa rake,+ tichiregererwa zvitadzo zvedu+ maererano nekuwanda kwenyasha dzaMwari.

8 Nyasha idzi akaita kuti dziwande kwatiri neuchenjeri hwese nekunzwisisa 9 paakaita kuti tizive chakavanzika chitsvene*+ chekuda kwake. Zvaimufadza iye pachake kuti ave nechinangwa 10 chekuva neurongwa hwekuti kana nguva yaakasarudza yanyatsokwana, aunganidze zvinhu zvese muna Kristu, zvinhu zviri kudenga nezvinhu zviri panyika.+ Aunganidzire maari iye 11 watiri pamwe naye uye watichagara nhaka pamwe naye,+ sezvo takagara tagadzwa maererano nechinangwa cheuya anoita zvinhu zvese zvaanosarudza maererano nekuda kwake, 12 kuti isu vakatanga kuva netariro muna Kristu tishumire kuti kubwinya kwake kurumbidzwe. 13 Asi nemiwo makava netariro maari pamakanzwa shoko rechokwadi, mashoko akanaka ekuponeswa kwenyu. Pamakatenda, makaiswa chisimbiso*+ pachishandiswa iye nemweya mutsvene wakavimbiswa, 14 uyo watakafanobatiswa* kuti tizowana nhaka yedu,+ kuti vanhu vaMwari vasunungurwe+ pachishandiswa rudzikinuro,+ kuti arumbidzwe zvinoshamisa.

15 Ndokusaka iniwo, kubvira pandakanzwa nezvekutenda kwamuinako munaShe Jesu uye rudo rwamunoratidza vatsvene vese, 16 handina kurega kutenda Mwari pamusoro penyu. Ndinogara ndichitaura nezvenyu muminyengetero yangu, 17 kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya weuchenjeri uye akuzarurirei ruzivo rwake rwakarurama.+ 18 Iye akavhenekera maziso emwoyo yenyu, kuti muzive tariro yaakakudanirai, pfuma inobwinya yaanochengetera vatsvene senhaka,+ 19 uye kukura kwakaita ukuru hwesimba rake kwatiri isu vatendi.+ Ihwo hunoenderana nekushanda kwesimba rake guru, 20 raakashandisa pana Kristu achimumutsa kuvakafa, akamugarisa kuruoko rwake rwerudyi+ munzvimbo dzekudenga, 21 kumusorosoro kwehurumende dzese, nevanhu vane chiremera, nemasimba, neushe uye nemazita ese anodanwa,+ kwete mumamiriro ano ezvinhu* chete, asiwo mune achauya. 22 Akaisawo zvinhu zvese pasi petsoka dzake,+ akamuita kuti ave musoro wezvinhu zvese kuungano,+ 23 inova ndiyo muviri wake,+ kuzara kwaiye uyo anozadza zvinhu zvese muzvese.

2 Uyezve, Mwari akakuitai vapenyu, kunyange makanga makafa mukudarika kwenyu nemuzvivi zvenyu,+ 2 mamakambofamba maererano nenzira dzenyika ino,*+ maererano nemutongi ane simba pamhepo,+ iwo mweya+ uri kushanda iye zvino muvanakomana vasingateereri. 3 Tese taimbova pakati pavo tichizvibata maererano nezvido zvenyama yedu,+ tichiita zvinhu zvaidiwa nenyama uye zvataifunga,+ uye takazvarwa tiri vana vekuitirwa hasha+ sevamwe vanhu vese. 4 Asi Mwari, nengoni dzake huru,+ nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,+ 5 akaita kuti tive vapenyu pamwe naKristu, kunyange patakanga takafa mukudarika;+ uye imi makaponeswa nekungonzwirwawo nyasha. 6 Uyezve akatimutsa pamwe chete akatigarisa pamwe chete munzvimbo dzekudenga tiri pamwe naKristu Jesu,+ 7 kuti munguva dzinouya* aratidze pfuma inopfuura zvinhu zvese yenyasha dzake pakutifarira kwaakaita tiri pamwe naKristu Jesu.

8 Imi makaponeswa nenyasha idzi kuburikidza nekutenda,+ uye izvi hazvina kuitika nekuda kwenyu, asi chipo chaMwari. 9 Hazvina kubva pamabasa,+ zvekuti pangava nemunhu angazvirumbidza. 10 Tiri basa remaoko aMwari* uye takasikwa+ tiri pamwe naKristu Jesu+ kuti tiite mabasa akanaka, atakagara tarongerwa naMwari kuti tizofamba maari.

11 Saka yeukai kuti imi vanhu vemamwe marudzi panyama, ndimi maimbonzi “vasina kuchecheudzwa” pamaidanwa nevaya vanonzi “vakachecheudzwa,” izvo zvakaitwa panyama nemaoko evanhu. 12 Panguva iyoyo makanga musina Kristu, makaparadzaniswa nerudzi rwevaIsraeri, musingazivikanwi pasungano dzevimbiso;+ makanga musina tariro uye makanga musina Mwari panyika.+ 13 Asi iye zvino sezvo mava pamwe naKristu Jesu, imi maimbova kure, masvika pakuva pedyo kuburikidza neropa raKristu. 14 Nekuti iye ndiye rugare rwedu,+ uyo akaita kuti mapoka maviri ave rimwe chete,+ akaparadza rusvingo rwaiva pakati rwaiaparadzanisa.+ 15 Achishandisa nyama yake akabvisa ruvengo rwaivapo, iwo Mutemo waiumbwa nemirayiro nemirau, kuti aite kuti mapoka acho maviri ari pamwe naye ave munhu mumwe chete mutsva,+ uye kuti aite kuti pave nerugare, 16 uye kuti ayananise zvakazara mapoka acho ari maviri naMwari mumuviri mumwe chete kuburikidza nedanda rekutambudzirwa,*+ nekuti akanga aparadza ruvengo+ achishandisa muviri wake. 17 Uye akauya ndokuzivisa mashoko akanaka erugare kwamuri imi maiva kure, uye rugare kune vaya vaiva pedyo, 18 nekuti kuburikidza naye, isu mapoka acho maviri, tinosvika kuna Baba takasununguka nemweya mumwe.

19 Saka hamusisiri vanhu vasingazivikanwi uye vatorwa,+ asi mava vagari pamwe chete+ nevatsvene uye mava nhengo dzeimba yaMwari,+ 20 uye makavakwa pafaundesheni dzevaapostora nevaprofita,+ Kristu Jesu ari dombo repakona refaundesheni yacho.+ 21 Chivakwa chese chiri kubatanidzwa pamwe naye,+ uye chiri kukura kuva temberi tsvene yaJehovha.*+ 22 Nemiwo, pamuri pamwe naye, muri kuvakwa pamwe chete kuti muve nzvimbo yekuti Mwari agare kuburikidza nemweya.+

3 Nechikonzero ichi, ini Pauro, musungwa+ waKristu Jesu nekuda kwenyu, imi vanhu vemamwe marudzi . . . 2 kana zvechokwadi makanzwa nezveutariri+ hwenyasha dzaMwari dzandakapiwa kuti mubatsirwe, 3 kuti ini ndakaziviswa chakavanzika chitsvene* ndichiita zvekuzarurirwa, sezvandambonyora muchidimbu. 4 Saka pamuchaverenga izvi, munogona kuziva kuti ndinonzwisisa zvakadii chakavanzika chitsvene+ pamusoro paKristu. 5 Mune zvimwe zvizvarwa, chakavanzika ichi hachina kuziviswa vanakomana vevanhu sekuzarurwa kwachakaitwa iye zvino nemweya kuvaapostora vake vatsvene nevaprofita,+ 6 chekuti, vachibatanidzwa naKristu Jesu uye kuburikidza nemashoko akanaka, vanhu vemamwe marudzi vanofanira kuva vagari venhaka uye nhengo dzemuviri pamwe chete nesu+ vachibatana nesu muvimbiso yakapiwa. 7 Ndakava mushumiri weizvi maererano nechipo chepachena chenyasha dzaMwari chandakapiwa nekushanda kwesimba rake.+

8 Ndakangonzwirwawo nyasha idzi,+ ini mudiki pavatsvene vese,+ kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isingaenzaniswi yaKristu 9 uye ndinofanira kuita kuti vanhu vese vaone urongwa hwechakavanzika chitsvene+ chava nenguva yakareba chakavanzwa muna Mwari uyo akasika zvinhu zvese. 10 Izvi zvakaitika kuti iye zvino, kuburikidza neungano,+ hurumende dziri kudenga nevane masimba vari munzvimbo dzekudenga vaziviswe nezveuchenjeri hwaMwari hunoratidzwa nenzira zhinji dzakasiyana-siyana.+ 11 Izvi zvinoenderana nechinangwa chake chisingagumi chaakatanga chine chekuita naKristu+ Jesu Ishe wedu, 12 uyo anoita kuti titaure takasununguka sezvatiri kuita uye anoita kuti tisununguke kutaura naMwari+ nechivimbo kuburikidza nekutenda maari. 13 Saka ndinokumbira kuti musadzokera shure nekuda kwematambudziko andiri kusangana nawo pamusana penyu, nekuti iwo anoreva kukudzwa kwenyu.+

14 Nechikonzero ichi ndinopfugamira Baba, 15 avo mhuri dzese dziri kudenga nedziri panyika dzinowana mazita adzo kwavari. 16 Ndinonyengetera kuti maererano neukuru hwekubwinya kwavo vasimbise munhu wamuri nechemukati,+ vachizviita nesimba vachishandisa mweya wavo, 17 uye kuti nekutenda kwenyu, Kristu agare mumwoyo menyu nerudo.+ Dzikai midzi,+ uye simbiswai pafaundesheni,+ 18 kuti imi pamwe chete nevatsvene vese munyatsokwanisa kunzwisisa zvakazara chinonzi kufara nekureba nekukwirira nekudzika, 19 uye kuti muzive rudo rwaKristu,+ urwo runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe nekuzara kwese kunopiwa naMwari.

20 Uya anogona kuita zvinopfuura nekure kure zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira,+ maererano nesimba rake riri kushanda matiri,+ 21 ngaakudzwe pachishandiswa ungano uye pachishandiswa Kristu Jesu kusvikira kuzvizvarwa zvese nariini nariini. Ameni.

4 Saka ini, musungwa munaShe,+ ndinokukumbirai kuti mufambe zvinoenderana nekudanwa kwamakaitwa,+ 2 nekuzvininipisa kwese*+ neunyoro, nemwoyo murefu,+ nekunzwisisana murudo,+ 3 muchiedza nepamunogona napo kuchengeta kubatana kwemweya muchisungo cherugare.+ 4 Kune muviri mumwe chete,+ nemweya mumwe chete,+ sekudanwa kwamakaitwa kutariro imwe chete+ yekudanwa kwenyu; 5 Ishe mumwe chete,+ kutenda kumwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete; 6 Mwari mumwe chete anova ndiye Baba vezvinhu zvese, vari pamusoro pezvinhu zvese, kuzvinhu zvese uye muzvinhu zvese.

7 Mumwe nemumwe wedu akapiwa nyasha maererano nekuyera kwakaita Kristu chipo chacho chepachena.+ 8 Nekuti zvinonzi: “Paakakwira kumusoro akaenda nenhapwa, akapa varume sezvipo.”+ 9 Shoko rekuti “akakwira” rinorevei? Rinoreva kuti akadzikawo pasi, kureva, panyika. 10 Iye wacho akadzika ndiyewo akakwira kumusoro+ kupfuura matenga ese,+ kuti aite kuti zvinhu zvese zvive zvakazara.

11 Akapa vamwe kuti vave vaapostora,+ vamwe kuti vave vaprofita,+ vamwe kuti vave vaevhangeri,*+ vamwe kuti vave vafudzi nevadzidzisi,+ 12 kuti vatsvene varuramiswe* kuti vaite basa rekushumira, muviri waKristu uvakwe,+ 13 kusvikira tese tasvika pakubatana mukutenda* uye muruzivo rwakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari,+ tava munhu akakura zvakakwana, ane chimiro chakazara chaKristu. 14 Saka hatifaniri kunge tichiri vana, tichiita setiri kukandwa kwese kwese nemasaisai uye tichitakurwa tichiiswa kuno neuko nemhepo yese yedzidziso+ dzekunyengera kwevanhu, nezvirongwa zvekunyengedza. 15 Asi ngatitaurei chokwadi, rudo ruchiita kuti tikure muzvinhu zvese muna Kristu, anova ndiye musoro.+ 16 Zvichibva nekwaari, muviri wese+ unonyatsobatanidzwa pamwe chete uye unoitwa kuti ushande pamwe chete nenhengo dzese dzinoupa zvaunoda. Kana nhengo imwe neimwe ichishanda zvakanaka, zvinobatsira kuti muviri ukure paunenge uchizvivaka murudo.+

17 Saka izvi ndizvo zvandinotaura uye zvandinopupurira munaShe, kuti hamufaniri kuramba muchifamba semafambiro anoita mamwe marudzi,+ anofamba muupenzi hwepfungwa dzawo.+ 18 Ari murima mupfungwa uye akaparadzaniswa neupenyu hunopiwa naMwari, nekuda kwekusaziva kuri maari, nekuda kwekugomara kwemwoyo yawo. 19 Sezvo asisina unhu zvachose, akazvinyudza mutsika dzakafumuka*+ achiita nemakaro zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese.

20 Asi imi hamuna kudzidza kuti ndizvo zvakaita Kristu, 21 kana zvechokwadi makamunzwa uye makadzidziswa naye, sezvo chokwadi chiri muna Jesu. 22 Makadzidziswa kubvisa unhu hwekare+ hunoenderana nemararamiro amaimboita uye huri kuodzwa maererano nekuchiva kwahwo kunonyengera.+ 23 Uye munofanira kuramba muchiitwa vatsva pamafungiro enyu,+ 24 uye munofanira kupfeka unhu hutsva+ hwakasikwa maererano nekuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nekuvimbika.

25 Saka sezvo makasiya unyengeri, mumwe nemumwe wenyu ngaataure chokwadi nemuvakidzani wake,+ nekuti tiri nhengo dzemuviri mumwe chete.+ 26 Kana mukatsamwa, musatadza;+ musarega zuva richivira muchakatsamwa;+ 27 musapa Dhiyabhorosi mukana.*+ 28 Anoba ngaachirega kubazve; asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake,+ kuti ave nechekupawo anoshayiwa.+ 29 Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu,+ asi shoko rakanaka rinovaka panguva yakakodzera, kuti vanonzwa vabatsirwe.+ 30 Uyewo musarwadzisa* mweya mutsvene waMwari,+ wamakaiswa nawo chisimbiso*+ muchimirira zuva ramuchasunungurwa nerudzikinuro.+

31 Bvisai kuvengana kwese,+ kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka,+ pamwe chete nezvinhu zvese zvakaipa.+ 32 Asi itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo,+ muchiregererana nemwoyo wese* sezvakaitwa naMwari paakakuregererai nemwoyo wese achishandisa Kristu.+

5 Saka ivai vatevedzeri vaMwari,+ sevana vanodiwa, 2 uye rambai muchifamba murudo,+ sekungodiwa kwatakaitwawo*+ naKristu, akazvipa kuti atifire* semupiro uye sechibayiro, kunhuhwirira kwakanaka kuna Mwari.+

3 Upombwe* nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese kana makaro ngazvirege kana kutombotaurwa nezvazvo pakati penyu,+ sezvo zvisina kukodzera vanhu vatsvene;+ 4 kana kuzvibata zvinonyadzisa kana kutaura kweupenzi kana kusetsa vamwe nezvinhu zvinonyadzisira.+ Kuita izvi hakuna kukodzera, asi panzvimbo pekudaro ongai Mwari.+ 5 Nekuti imi munonyatsozviziva kuti hapana mhombwe*+ kana munhu asina kuchena kana munhu ane makaro,+ izvo zvinoreva kuva munhu anonamata zvidhori, ane nhaka muUmambo hwaKristu nehwaMwari.+

6 Ngaparege kuva nemunhu anokufurirai nemashoko asina basa, nekuti pamusana pezvinhu zvakadaro, hasha dzaMwari dziri kuuya pavanakomana vasingateereri. 7 Saka musabatana navo; 8 nekuti maimbova rima, asi iye zvino mava chiedza+ munaShe.+ Rambai muchifamba sevana vechiedza, 9 nekuti chiedza chinobereka zvinhu zvakanaka zvemarudzi ese nekururama nechokwadi.+ 10 Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika+ kunaShe; 11 uye musabatana navo pakuita mabasa erima asina zvibereko;+ panzvimbo pekudaro, fumurai mabasa avo. 12 Nekuti zvavanoita pachivande zvinonyadzisa kunyange kuzvitaura chaiko. 13 Zvinhu zvese zviri kufumurwa zvinoiswa pachena nechiedza, nekuti zvinhu zvese zviri kuiswa pachena zvinova chiedza. 14 Saka zvinonzi: “Muka, iwe wakarara, muka kuvakafa,+ uye Kristu achakuvhenekera.”+

15 Saka rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, 16 muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera,*+ nekuti mazuva akaipa. 17 Saka regai kuita sevanhu vasingafungi, asi rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha* ndekupi.+ 18 Uyewo, musadhakwa newaini,+ nekuti pakudhakwa ndipo pane kusazvibata, asi rambai muchizadzwa nemweya. 19 Taurai nemumwe nemumwe nemapisarema, nekurumbidza Mwari, nekuimba+ nziyo dzemweya, muchiimba+ muchiridzira Jehovha* nziyo mumwoyo menyu,+ 20 muchigara muchitenda+ Mwari wedu uye Baba vedu nezvinhu zvese zvavanotiitira, muzita raShe wedu Jesu Kristu.+

21 Zviisei pasi pemumwe nemumwe+ muchitya Kristu. 22 Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo+ sezvaanoita kunaShe, 23 nekuti murume ndiye musoro wemudzimai wake,+ sezvo Kristu ari iye musoro weungano,+ ari iye muponesi wemuviri uyu. 24 Tingatoti, sezvo ungano ichizviisa pasi paKristu, madzimai ngaaitewo saizvozvo kuvarume vawo muzvinhu zvese. 25 Varume, rambai muchida madzimai enyu,+ sekuda kwakaita Kristu ungano, akazvipira kuifira,+ 26 kuti aitsvenese, achiichenesa nekuigeza nemvura achishandisa shoko,+ 27 kuti atore ungano ive yake iine runako rwayo, isina pane ruvara kana pakaunyana kana chimwe chinhu chakadaro,+ asi kuti ive tsvene isina pakashatiswa.+

28 Varume vanofanirawo kuita saizvozvo, vachida madzimai avo semiviri yavo. Murume anoda mudzimai wake anozvida, 29 nekuti hapana murume akambovenga muviri wake,* asi anoupa zvekudya uye anouchengeta, sezvinoitwa ungano naKristu, 30 nekuti tiri nhengo dzemuviri wake.+ 31 “Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake,* vaviri vacho vova nyama imwe.”+ 32 Chakavanzika chitsvene*+ ichi chikuru. Apa ndiri kutaura nezvaKristu neungano.+ 33 Kunyange zvakadaro, mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai+ wake sezvaanozviita; mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.+

6 Vana, teererai vabereki venyu+ munaShe, nekuti izvi zvakarurama. 2 “Kudza baba vako naamai vako.”+ Uyu ndiwo murayiro wekutanga une vimbiso yekuti: 3 “Kuti zvikufambire zvakanaka* uye ugare panyika kwenguva refu.” 4 Uye vanababa, musatsamwisa vana venyu,+ asi varerei muchivaranga+ uye muchivarayira* sezvinodiwa naJehovha.*+

5 Varanda, teererai vanatenzi+ venyu panyama, muchitya nekudedera, muchiita zvinhu nemwoyo wese, sezvamunoita kuna Kristu, 6 kwete pamunenge muchionekwa chete, muchingoitira kufadza vanhu,+ asi sevaranda vaKristu, muchiita kuda kwaMwari nemweya* wese.+ 7 Ivai varanda vane chido semuri kushandira Jehovha,*+ kwete vanhu, 8 nekuti munoziva kuti zvinhu zvese zvakanaka zvinoitwa nemunhu, achazvidzorerwa naJehovha,*+ angava muranda kana kuti munhu akasununguka. 9 Uyewo, imi vanatenzi, rambai muchivabata saizvozvo, musingavatyisidziri, nekuti munoziva kuti Tenzi wavo newenyu ari kudenga,+ uye haasaruri.

10 Ndinopedzisa ndichiti, rambai muchiwana simba+ munaShe nemuukuru hwesimba rake. 11 Pfekai zvipfeko zvakakwana zvemurwi+ zvinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano* aDhiyabhorosi; 12 nekuti hatisi kurwisana*+ neropa nenyama, asi nehurumende, nevane masimba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emweya yakaipa+ ari munzvimbo dzemumatenga. 13 Naizvozvo, pfekai zvipfeko zvakakwana zvemurwi zvinobva kuna Mwari,+ kuti mukwanise kuzvidzivirira pazuva rakaipa uye, pamunenge mapedza zvese, mumire makasimba.

14 Saka mirai makasimba, makasunga muchiuno menyu nebhandi rechokwadi,+ makapfeka chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama,+ 15 uye tsoka dzenyu dzakapfeka mashoko akanaka erugare amakagadzirira kuzivisa.+ 16 Kuwedzera pazvese izvi, torai nhoo huru yekutenda,+ yamuchakwanisa kudzima nayo miseve yese inobvira inokandwa neakaipa.+ 17 Uyewo, pfekai ngowani yeruponeso,+ uye torai bakatwa remweya, iro shoko raMwari,+ 18 uku muchiramba muchinyengetera+ mumweya nguva dzese, muchishandisa nzira dzese dzekunyengetera nekuteterera.+ Saka rambai makamuka, muchiramba muchitetererera vatsvene vese. 19 Neniwo ndinyengetererei kuti ndipiwe mashoko pandinoshama muromo wangu, kuti ndikwanise kutaura neushingi ndichizivisa chakavanzika chitsvene* chemashoko akanaka,+ 20 andiri kushanda semumiririri wawo+ ndakasungwa necheni, uye kuti nditaure nezvawo neushingi sezvandinofanira kuita.

21 Kuti muzivewo nezvangu, uye kuti ndakadii, Tikiko,+ hama inodiwa uye mushumiri akatendeka munaShe, achakuudzai zvese.+ 22 Ndizvo zvandiri kumutumira kwamuri, kuti muzive kuti takadii uye kuti anyaradze mwoyo yenyu.

23 Hama ngadzive nerugare nerudo nekutenda zvinobva kuna Mwari Baba naShe Jesu Kristu. 24 Nyasha dzaMwari ngadzive nevaya vese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nerudo rusingaperi.

Kureva, Kristu.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “chidhindo.”

Kana kuti “wakaita semari yekufanobatira chinhu; wakaita sechitsidzo chezvichauya; wakaita sevimbiso yezvichauya.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nemamiriro ezvinhu enyika ino.”

Kana kuti “mumamiriro ezvinhu anouya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Tiri zvibereko zvebasa rake.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nekuzvirereka.”

Kana kuti “vazivisi vemashoko akanaka.”

Kana kuti “vadzidziswe.”

Kana kuti “pahumwe hwekutenda.”

Kana kuti “mukushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”

Kana kuti “nzvimbo.”

Kana kuti “musasuwisa.”

Kana kuti “chidhindo.”

Kana kuti “muchingoregererana.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kwamakaitwawo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “akufirei.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”

ChiGir., “muchitenga nguva yakakodzera.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “nyama yake.”

Kana kuti “acharamba aine mudzimai wake.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Kuti ubudirire.”

Kana kuti “muchivadzidzisa; muchivatungamirira.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “nemazano.”

ChiGir., “kuita mutsimba.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe