RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Ruka 1:1-24:53
  • Ruka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ruka
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ruka

MASHOKO AKANAKA AKANYORWA NARUKA

1 Pandakaona kuti vakawanda vakanyora nhoroondo yezvakaitika yatinonyatsobvumirana kuti ndeyechokwadi,+ 2 sekupfuudzwa kwayakaitwa kwatiri nevaya vaiva zvapupu zvezvinhu izvi+ kubvira pakutanga uye vakazivisa shoko iri,+ 3 ini ndakasarudzawo kukunyorerai mashoko acho kuti munyatsonzwisisa kutevedzana kwenyaya yacho, imi munoremekedzwa kwazvo Tiyofiro, nekuti ndakanyatsoronda zvinhu zvese kubvira pazvakatangira,+ 4 kuti munyatsova nechokwadi nenyaya iyi yamakaita zvekutaurirwa nemuromo.+

5 Mumazuva aHerodhi,*+ mambo weJudhiya, kwaiva nemumwe mupristi ainzi Zekariya weboka rekwaAbhija.+ Mudzimai wake aiva wedzinza raAroni,* uye ainzi Erizabheti. 6 Vese vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachifamba vasina chavanopomerwa maererano nemirayiro yese nemitemo yaJehovha.* 7 Asi vakanga vasina mwana, nekuti Erizabheti aishaya mbereko, uye vese vakanga vachembera.

8 Paakanga achishumira semupristi riri jana reboka rake+ pamberi paMwari, 9 semarongerwo akanga akaitwa basa reupristi, nguva yake yakasvika yekuti apinde anopa rusenzi+ munzvimbo tsvene yaJehovha.*+ 10 Uye vamwe vanhu vese vakanga vachinyengetera vari panze panguva yaipiwa rusenzi. 11 Ngirozi yaJehovha* yakazviratidza kwaari, yakamira kurutivi rwerudyi rweatari yerusenzi. 12 Asi Zekariya akanetseka paakaiona, akatya zvikuru. 13 Asi ngirozi yacho yakati kwaari: “Usatya, Zekariya, nekuti munyengetero wako wekuteterera wanzwikwa, uye mudzimai wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana. Unofanira kumutumidza kuti Johani.+ 14 Uchafara nekufarisisa, uye vazhinji vachafara nekuzvarwa kwake,+ 15 nekuti achava mukuru pamberi paJehovha.*+ Asi haafaniri kunwa waini kana chero chinwiwa chinodhaka,+ uye achazadzwa nemweya mutsvene kunyange paanenge asati azvarwa,*+ 16 uye achadzorera vanakomana vaIsraeri vakawanda kuna Jehovha* Mwari wavo.+ 17 Uyewo, achaenda pamberi pake nemweya* nesimba+ zvaEriya, kuti adzorere mwoyo yavanababa kuvana,+ uye adzore vasingateereri kuti vawane uchenjeri hwevakarurama, kuti aite kuti Jehovha* ave nevanhu vakagadzirira.”+

18 Zekariya akati kungirozi yacho: “Ndingava sei nechokwadi nazvo? Nekuti ndakwegura uye mudzimai wangu achembera.” 19 Ngirozi yakamupindura ichiti: “Ndini Gabrieri,+ anomira pamberi paMwari,+ uye ndatumwa kuzotaura newe uye kuzokuzivisa mashoko aya akanaka. 20 Asi chinzwa! Uchange wakanyarara usingagoni kutaura kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nekuti hauna kutenda mashoko angu, ayo achazadziswa kana nguva yacho yasvika.” 21 Nguva yese iyi vanhu vakanga vakamirira Zekariya, uye vakashamiswa kuti akanga anonoka zvakadaro ari munzvimbo tsvene. 22 Paakazobuda, akanga asisagoni kutaura navo, uye vakanzwisisa kuti akanga achangobva kuona chiratidzo munzvimbo tsvene. Akaramba achingoshandisa maoko, asingagoni kutaura navo. 23 Mazuva ebasa rake dzvene paakapera, akabva aenda kumba kwake.

24 Gare gare, Erizabheti mudzimai wake akava nepamuviri, uye haana kubva pamba kwemwedzi mishanu, achiti: 25 “Izvi ndizvo zvandaitirwa naJehovha* iye zvino. Afungawo nezvangu kuti abvise kuzvidzwa kwangu pakati pevanhu.”+

26 Mumwedzi wake wechitanhatu, ngirozi inonzi Gabrieri+ yakatumwa ichibva kuna Mwari kuti iende kuguta reGarireya rinonzi Nazareta, 27 kumhandara+ yakanga yavimbiswa kuroorwa nemurume ainzi Josefa weimba yaDhavhidhi, uye mhandara yacho yainzi Mariya.+ 28 Ngirozi yacho yakasvika kwaari ikati: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha* anewe.” 29 Asi iye akanetseka kwazvo nemashoko acho, achiedza kunzwisisa kuti uku kungava kukwazisa kwerudzii. 30 Saka ngirozi yacho yakati kwaari: “Usatya hako Mariya, nekuti wanzwirwa nyasha naMwari. 31 Uye uchava nepamuviri, wobereka mwanakomana,+ uye unofanira kumutumidza kuti Jesu.+ 32 Uyu achava mukuru+ uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro,+ uye Jehovha* Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi,+ 33 uye achava Mambo paimba yaJakobho nekusingaperi, uye Umambo hwake hahuzogumi.”+

34 Asi Mariya akati kungirozi yacho: “Izvi zvingaitika sei ini ndisiri kurara nemurume?”+ 35 Ngirozi yacho yakamupindura kuti: “Mweya mutsvene uchava pauri,+ uye simba reWekumusorosoro richakufukidza. Saka achaberekwa wacho achanzi mutsvene,+ Mwanakomana waMwari.+ 36 Uye Erizabheti hama yako avawo nepamuviri pemwanakomana, kunyange zvazvo achembera, zvekuti uno watova mwedzi wake wechitanhatu, iye achinzi nevanhu mukadzi asingabereki; 37 nekuti hapana chinoziviswa naMwari chinotadza kuzadziswa.”*+ 38 Mariya akabva ati: “Onai! Ini ndiri murandasikana waJehovha!* Ngazviitike kwandiri sekuzivisa kwamaita.” Ngirozi yacho yakabva yaenda.

39 Saka izvi zvichangoitika, Mariya akasimuka, akaenda nekukurumidza kunyika yemakomo, kuguta remunharaunda yeJudha, 40 uye akapinda mumusha waZekariya, akakwazisa Erizabheti. 41 Erizabheti paakanzwa Mariya achimukwazisa, mwana aiva mudumbu make akakwakuka, uye Erizabheti akazadzwa nemweya mutsvene 42 akashevedzera nenzwi guru kuti: “Wakakomborerwa iwe pakati pevamwe vakadzi, uye mwana ari mudumbu mako akakomborerwa! 43 Saka ndiri aniwo zvangu ini, kuti ndishanyirwe naamai vaShe wangu? 44 Nekuti ufunge pandangonzwa inzwi rako uchindikwazisa, mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nemufaro. 45 Anofarawo iye akatenda zvaakaudzwa, nekuti zvinhu izvozvo zvaakataurirwa naJehovha* zvichazadziswa zvakakwana.”

46 Uye Mariya akati: “Mweya* wangu unokudza Jehovha,*+ 47 uye mwoyo wangu haungaregi kufarira kwazvo Mwari Muponesi wangu,+ 48 nekuti aona chinzvimbo chakaderera chemurandasikana wake.+ Chokwadi kubvira iye zvino zvizvarwa zvese zvichati ndakakomborerwa,+ 49 nekuti Ane simba andiitira mabasa makuru, uye zita rake idzvene,+ 50 uye kwezvizvarwa nezvizvarwa ngoni dzake dziri pane vaya vanomutya.+ 51 Ashandisa simba reruoko rwake; aparadzira vaya vane mwoyo inoronga zvinhu zvekuzvikudza.+ 52 Aderedza vanhu vane simba pazvigaro zveumambo,+ uye akakwidziridza vakaderera;+ 53 anyatsogutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka+ uye aita kuti vaiva nepfuma vaende vasina chinhu. 54 Ayamura Israeri mushumiri wake, achiyeuka ngoni dzake+ 55 nekusingaperi, sekuudza kwaakaita madzitateguru edu, Abrahamu nevana*+ vake.” 56 Mariya akagara naye kwemwedzi ingasvika mitatu, akazodzokera kumusha kwake.

57 Nguva yekuti Erizabheti asununguke yakazokwana, uye akabereka mwana mukomana. 58 Uye vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Jehovha* akanga amunzwira ngoni zvikuru, vakafara naye.+ 59 Pazuva rechi8 vakauya kuzochecheudza mwana wacho,+ uye vaida kumutumidza zita rababa vake rekuti Zekariya. 60 Asi amai vake vakapindura vachiti: “Aiwa! Achanzi Johani.” 61 Vakabva vati kwaari: “Hapana kana hama yenyu ine zita iroro.” 62 Vakabva vataura nemaoko vachibvunza baba vake kuti vaida kuti anzi ani. 63 Saka baba vacho vakakumbira puranga rekunyorera, vakanyora kuti: “Anonzi Johani.”+ Vese vakashamiswa nazvo. 64 Muromo wake wakabva wangovhurika pakarepo, rurimi rwake rukasununguka, akatanga kutaura+ achirumbidza Mwari. 65 Vavakidzani vavo vese vakatya, uye zvinhu zvese izvi zvakatanga kutaurwa munyika yese yemakomo yeJudhiya. 66 Uye vese vakazvinzwa vakazvichengeta mumwoyo mavo, vachiti: “Mwana uyu achava munhu akaita sei?” Nekuti ruoko rwaJehovha* rwaiva naye zvechokwadi.

67 Baba vake Zekariya vakabva vazadzwa nemweya mutsvene, vakaprofita vachiti: 68 “Jehovha* Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe,+ nekuti afunga nezvevanhu vake uye avaunzira ruponeso.+ 69 Uye atimutsira nyanga yeruponeso*+ mumba memushumiri wake Dhavhidhi,+ 70 sekutaura kwaakaita achishandisa vaprofita vake vatsvene kubvira kare,+ 71 kuti achatiponesa pamhandu dzedu uye pamaoko evaya vese vanotivenga;+ 72 kuti aratidze ngoni achifunga nezvemadzitateguru edu uye kuti ayeuke sungano yake tsvene,+ 73 mhiko yaakapikira Abrahamu tateguru vedu,+ 74 kuti pashure pekunge tanunurwa pamaoko evavengi, atikomborere nekuita kuti timuitire basa dzvene tisingatyi, 75 tichiriita nekuvimbika, nekururama pamberi pake mazuva edu ese. 76 Asi kana uri iwe mwanangu, uchanzi muprofita weWekumusorosoro, nekuti uchafanotungamira pamberi paJehovha* kuti ugadzirire nzira dzake,+ 77 kuti uzivise vanhu vake shoko reruponeso runobva pakukanganwirwa kwezvivi zvavo,+ 78 nekuda kwetsitsi huru dzaMwari wedu. Tsitsi idzi dzichaita kuti mambakwedza atishanyire achibva kumusoro, 79 achivhenekera vaya vakagara murima nemumumvuri werufu,+ nekutungamirira tsoka dzedu munzira yerugare.”

80 Uye mwana wacho akakura, akava munhu ane pfungwa dzakadzama,* uye aigara murenje kusvikira zuva raakazozviratidza pachena kuna Israeri.

2 Mumazuva iwayo, Kesari Agasto akapa murayiro wekuti vanhu vemuumambo hwese* vanyorwe pasi mazita avo. 2 (Kunyoresa uku kwekutanga kwakaitika Kwiriniyo ari gavhuna weSiriya.) 3 Uye vanhu vese vakaenda kunonyoresa, mumwe nemumwe kuguta rekwake. 4 Josefa+ akabvawo kuGarireya, muguta reNazareta, akaenda kuJudhiya, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetrehema,+ nekuti aiva weimba uye wedzinza raDhavhidhi. 5 Akaenda kunonyoresa aina Mariya, uyo waakanga aroora, sezvavakanga vavimbisana,+ uye akanga akurirwa nepamuviri.+ 6 Pavakanga vari ikoko, nguva yekuti asununguke yakakwana. 7 Uye akasununguka mwanakomana wake wedangwe,+ akamuputira nemachira, akamuradzika muchidyiro chezvipfuwo,+ nekuti mumba mevaenzi makanga musina nzvimbo yekuti vagare.

8 Munharaunda iyoyo maivawo nevafudzi vaigara kunze kwemisha vachichengeta zvipfuwo zvavo usiku. 9 Vakabva vangoona ngirozi yaJehovha* pamberi pavo, kubwinya kwaJehovha* kukavapoteredza, vakatya kwazvo. 10 Asi ngirozi yacho yakati kwavari: “Musatya, nekuti ndauya kuzokuzivisai mashoko akanaka emufaro mukuru uchava nevanhu vese. 11 Nekuti nhasi maberekerwa muponesi,+ Kristu Ishe,+ muguta raDhavhidhi.+ 12 Uye ichi ndicho chiratidzo chamuchaona: Muchawana mwana mucheche akaputirwa nemachira, akarara muchidyiro chezvipfuwo.” 13 Pakarepo, uto guru rekudenga rakabva ravapo rikabatana nengirozi+ yacho ndokurumbidza Mwari richiti: 14 “Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye vanhu vaanofarira vari panyika ngavave nerugare.”

15 Saka ngirozi dzacho padzakaenda kudenga, vafudzi vakasara vachitaurirana vachiti: “Tinotofanira kuenda kuBhetrehema tinoona zvaitika, zvataziviswa naJehovha.”* 16 Vakakurumidza kuenda, vakawana Mariya naJosefa, uye mucheche wacho akarara muchidyiro chezvipfuwo. 17 Pavakaona izvi, vakazivisa vanhu mashoko avakanga vaudzwa nezvemwana uyu. 18 Uye vese vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakaudzwa nevafudzi, 19 asi Mariya akatanga kuchengeta mashoko ese aya, achiafungisisa mumwoyo make.+ 20 Vafudzi vakabva vadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari nekuda kwezvinhu zvese zvavakanzwa nekuona, sekuudzwa kwavakanga vazviitwa.

21 Kuzoti papfuura mazuva 8, payakanga yava nguva yekuti vamuchecheudze,+ akatumidzwa kuti Jesu, zita raakapiwa nengirozi, amai vake vasati vava nepamuviri pake.+

22 Uyewo, nguva yekuti vanatswe maererano neMutemo waMozisi+ payakanga yakwana, vakaenda naye pamberi paJehovha,* kuJerusarema, 23 sekunyorwa kwazvakaitwa muMutemo waJehovha* kuti: “Dangwe rese rechirume* rinofanira kunzi idzvene kuna Jehovha.”*+ 24 Uye vakapa chibayiro maererano nezvinotaurwa muMutemo waJehovha:* “njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri.”+

25 MuJerusarema maiva nemumwe murume ainzi Simiyoni, uye murume uyu akanga akarurama uye akazvipira pakunamata, achimirira kunyaradzwa kwaIsraeri,+ uye mweya mutsvene wakanga uri paari. 26 Akanga akatoratidzwa naMwari pachishandiswa mweya mutsvene kuti akanga asingazooni rufu asati aona Kristu waJehovha.* 27 Achitungamirirwa nemweya mutsvene akapinda mutemberi, uye vabereki vacho pavakapinda nemwana wacho, Jesu, kuti vaite naye zvavaifanira kuita maererano neMutemo,+ 28 akatora mwana wacho akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti: 29 “Changamire Ishe, iye zvino mava kuita kuti muranda wenyu aende murugare+ maererano nezvamakazivisa, 30 nekuti maziso angu aona nzira yenyu yekuponesa nayo+ 31 yamakagadzira marudzi ese evanhu achiona,+ 32 chiedza+ chekubvisa nacho chinhu chakafukidza zviso zvemarudzi,+ kukudzwa kwevanhu venyu vaIsraeri.” 33 Baba naamai vemwana wacho vakaramba vachishamiswa pavainzwa zvaitaurwa nezvake. 34 Simiyoni akavakomborerawo akati kuna Mariya amai vemwana: “Inzwa! Mwana uyu atumwa kuti pave nekuwa+ nekumuka kwevakawanda pakati paIsraeri+ uye achava chiratidzo chinotaurwa zvakaipa nezvacho+ 35 (chokwadi, bakatwa refu richakubaya*),+ kuti kufunga kwemwoyo mizhinji kuiswe pachena.”

36 Kwaiva nemuprofitakadzi ainzi Ana, mwanasikana waFanueri, wedzinza raAsheri. Mukadzi uyu akanga achembera uye akanga agara nemurume wake kwemakore 7 kubvira paakaroorwa,* 37 uye aiva chirikadzi ine makore 84. Akanga asingamboshayikwi patemberi, achiita basa dzvene masikati neusiku, achitsanya nekunyengetera achiteterera. 38 Panguva iyoyo chaiyo, akaswedera pedyo navo akatanga kuonga Mwari uye kutaura nezvemwana wacho kuvanhu vese vaimirira kununurwa kweJerusarema.+

39 Saka pavakanga vaita zvinhu zvese maererano neMutemo waJehovha,*+ vakadzokera kuGarireya kuguta rekwavo reNazareta.+ 40 Uye mwana wacho akaramba achikura uye achisimba, achizadzwa neuchenjeri, uye akaramba achifarirwa naMwari.+

41 Vabereki vake vaigara vachienda kuJerusarema gore negore kumutambo wePaseka.+ 42 Paakanga ava nemakore 12, vakaenda kuJerusarema sezvaigara zvichiitwa pamutambo wacho.+ 43 Pavakanga vava kudzokera, mazuva emutambo wacho apera, mukomana wacho, Jesu, akasara muJerusarema, uye vabereki vake havana kuzviziva. 44 Vakafunga kuti akanga ari pakati pevanhu vavaifamba navo, saka vakafamba mufambo wezuva rimwe chete, vakabva vatanga kumutsvaga muhama dzavo nevanhu vekuziva. 45 Asi pavakamushaya, vakadzokera kuJerusarema ndokunyatsomutsvaga. 46 Pashure pemazuva matatu, vakazomuwana ari mutemberi, akagara pakati pevadzidzisi achivateerera nekuvabvunza mibvunzo. 47 Asi vese vaimuteerera vaishamiswa nekunzwisisa kwake nemhinduro dzake.+ 48 Vabereki vake pavakamuona, vakashamiswa, uye amai vake vakati kwaari: “Mwanangu, watitambudzirei kudaro? Ini nababa vako taona nhamo nekukutsvaga.” 49 Asi iye akati kwavari: “Manga muchinditsvagireiko? Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?”+ 50 Asi havana kunzwisisa zvaaivaudza.

51 Akabva aenda navo vakadzokera kuNazareta, uye akaramba achizviisa pasi pavo.*+ Uye amai vake vakanyatsochengeta mashoko aya ese mumwoyo mavo.+ 52 Jesu akaramba achiva neuchenjeri uye achikura uye achifarirwa naMwari nevanhu.

3 Mugore rechi15 rekutonga kwaTibheriyo Kesari, Pondiyo Pirato paakanga ari gavhuna weJudhiya, Herodhi*+ ari mutongi weruwa rweGarireya, Firipi mukoma wake ari mutongi wemaruwa eItureya neTrakonitisi, uye Risaniyasi ari mutongi weruwa rweAbhirene, 2 mumazuva emutungamiriri wevapristi Anasi neaKayafasi,+ shoko raMwari rakasvika kuna Johani+ mwanakomana waZekariya ari murenje.+

3 Saka akatenderera nharaunda yese yakapoteredza Jodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza kuti zvivi zvikanganwirwe,+ 4 sekunyorwa kwazvakaitwa mubhuku remashoko emuprofita Isaya, kuti: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.+ 5 Mapani ese anofanira kufushirwa, uye makomo ese nezvikomo zvese zvinofanira kuparadzirwa; nzira dzakamonyoroka dzinofanira kutwasuka, uye migwagwa yese isina kuenzana inofanira kuti chechetere; 6 uye vanhu vese vachaona ruponeso rwaMwari.’”*+

7 Saka akatanga kuti kuvanhu vaiuya kuzobhabhatidzwa naye: “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize hasha dziri kuuya?+ 8 Saka berekai zvibereko zvinoratidza kuti muri kupfidza zvivi zvenyu. Musazvifurira muchiti, ‘Abrahamu ndiye baba vedu.’ Nekuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kuita kuti matombo aya ave vana vaAbrahamu. 9 Demo ratova pamidzi yemiti. Saka muti wese usingabereki zvibereko zvakanaka unofanira kutemerwa pasi wokandwa mumoto.”+

10 Uye vanhu vaimubvunza kuti: “Saka, toita sei?” 11 Akavapindura kuti: “Munhu ane nguo mbiri ngaapewo asina, uye ane zvekudya ngaaitewo saizvozvo.”+ 12 Kunyange vateresi vakauya kuzobhabhatidzwa,+ uye vakati kwaari: “Mudzidzisi, toita sei?” 13 Iye akati kwavari: “Musatorera vanhu mutero wakawanda kupfuura unofanira kutorwa.”+ 14 Vaya vaiva mubasa rechiuto vaimubvunzawo vachiti: “Toita sei?” Uye akati kwavari: “Hamufaniri kushungurudza vanhu kana kuvapomera zvenhema,+ asi gutsikanai nezvamunopiwa.”*

15 Vanhu vaitarisira kuuya kwaKristu uye vese vaingoti nechemumwoyo nezvaJohani, “Kuti angava ari iye Kristu wacho here?”+ 16 Johani akavapindura vese achiti: “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyo ari kuuya akasimba kundipfuura, uye ane shangu dzandisina kukodzera kusunungura.+ Achakubhabhatidzai nemweya mutsvene nemoto.+ 17 Mudziyo wake wekuurutsisa uri* muruoko rwake kuti anyatsochenesa buriro rake uye kuti aunganidzire gorosi mudura rake, asi opisa hundi nemoto usingagoni kudzimwa.”

18 Akavakurudzirawo nedzimwe nzira dzakawanda uye akaramba achizivisa vanhu mashoko akanaka. 19 Asi Herodhi mutongi weruwa, paakatsiurwa naJohani nezvaHerodhiyasi mudzimai wemukoma wake uye nezvemabasa ese akaipa akanga aitwa naHerodhi, 20 akatowedzera kuita zvakaipa nekuvharira Johani mujeri.+

21 Vanhu vese pavaibhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo.+ Paainyengetera, denga rakavhurika,+ 22 uye mweya mutsvene wakadzika uchiuya paari wakaita senjiva, uye inzwi rakabva kudenga richiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.”+

23 Jesu+ paakatanga basa rake, aiva nemakore angasvika 30,+ uye sekufungwa kwazvaiitwa, aiva mwanakomana

waJosefa,+

mwanakomana waHirai,

24 mwanakomana waMatati,

mwanakomana waRevhi,

mwanakomana waMerikai,

mwanakomana waJanai,

mwanakomana waJosefa,

25 mwanakomana waMatatiyasi,

mwanakomana waAmosi,

mwanakomana waNahumi,

mwanakomana waEsri,

mwanakomana waNagai,

26 mwanakomana waMaati,

mwanakomana waMatatiyasi,

mwanakomana waSemeini,

mwanakomana waJoseki,

mwanakomana waJodha,

27 mwanakomana waJoanani,

mwanakomana waResa,

mwanakomana waZerubhabheri,+

mwanakomana waSheatiyeri,+

mwanakomana waNerai,

28 mwanakomana waMerikai,

mwanakomana waAdhai,

mwanakomana waKosamu,

mwanakomana waErimadhamu,

mwanakomana waEre,

29 mwanakomana waJesu,

mwanakomana waEriyezeri,

mwanakomana waJorimu,

mwanakomana waMatati,

mwanakomana waRevhi,

30 mwanakomana waSimiyone,

mwanakomana waJudhasi,

mwanakomana waJosefa,

mwanakomana waJonamu,

mwanakomana waEriyakimu,

31 mwanakomana waMereya,

mwanakomana waMena,

mwanakomana waMatata,

mwanakomana waNatani,+

mwanakomana waDhavhidhi,+

32 mwanakomana waJese,+

mwanakomana waObhedhi,+

mwanakomana waBhoazi,+

mwanakomana waSarimoni,+

mwanakomana waNashoni,+

33 mwanakomana waAminadhabhi,

mwanakomana waAnai,

mwanakomana waHezroni,

mwanakomana waPerezi,+

mwanakomana waJudha,+

34 mwanakomana waJakobho,+

mwanakomana waIsaka,+

mwanakomana waAbrahamu,+

mwanakomana waTera,+

mwanakomana waNahori,+

35 mwanakomana waSerugu,+

mwanakomana waReu,+

mwanakomana waPeregi,+

mwanakomana waEbheri,+

mwanakomana waShera,+

36 mwanakomana waKainani,

mwanakomana waApakishadhi,+

mwanakomana waShemu,+

mwanakomana waNoa,+

mwanakomana waRameki,+

37 mwanakomana waMetusera,+

mwanakomana waInoki,

mwanakomana waJaredhi,+

mwanakomana waMaharareeri,+

mwanakomana waKainani,+

38 mwanakomana waInoshi,+

mwanakomana waSeti,+

mwanakomana waAdhamu,+

mwanakomana waMwari.

4 Jesu akabva azadzwa nemweya mutsvene, ukamubvisa kuJodhani, ndokumutungamirira uchitenderera naye murenje+ 2 kwemazuva 40 achiedzwa naDhiyabhorosi.+ Uye hapana chaakadya mumazuva iwayo, saka pakapera mazuva acho, akanga ava nenzara. 3 Dhiyabhorosi akabva ati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza dombo iri kuti rive chingwa.” 4 Asi Jesu akamupindura kuti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete.’”+

5 Saka akaenda naye pakakwirira ndokumuratidza umambo hwese hwenyika munguva pfupi pfupi.+ 6 Dhiyabhorosi akabva ati kwaari: “Ndichakupa simba pane hwese uhwu nekubwinya kwahwo, nekuti hwakaiswa mumaoko angu,+ uye ndinohupa wandinenge ndada. 7 Saka ukangondinamata kamwe chete, hwese hunenge hwava hwako.” 8 Jesu akamupindura achiti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha* Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’”+

9 Akabva aenda naye kuJerusarema, ndokumumisa pamusoro perusvingo rwetemberi,* akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano,+ 10 nekuti zvakanyorwa kuti, ‘Acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, kuti dzikuchengetedze,’ 11 uye, ‘Dzichakutakura mumaoko adzo, kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo.’”+ 12 Jesu akamupindura achiti: “Zvakanzi, ‘Usaedza Jehovha* Mwari wako.’”+ 13 Saka Dhiyabhorosi paakanga apedza kumuedza, akamusiya kusvikira pane imwe nguva yaizomuka mumwe mukana.+

14 Jesu akazodzokera kuGarireya ari musimba remweya mutsvene.+ Uye zvakanaka zvaitaurwa nezvake zvakapararira munharaunda yacho yese. 15 Akatangawo kudzidzisa mumasinagogi avo, uye vanhu vese vaimuremekedza.

16 Akabva aenda kuNazareta,+ kwaakakurira, uye sezvaaiwanzoita kana riri zuva reSabata, akapinda musinagogi,+ akasimuka kuti averenge. 17 Saka akapiwa gwaro* remuprofita Isaya, uye akarivhura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: 18 “Mweya waJehovha* uri pandiri, nekuti akandizodza kuti ndizivise varombo mashoko akanaka. Akandituma kuti ndizivise nezvekusunungurwa kune vaya vakatapwa uye nezvekusvinudzwa kwemaziso kumapofu, kuti ndisunungure vakadzvinyirirwa,+ 19 kuti ndiparidze nezvegore rekufarirwa naJehovha.”*+ 20 Akabva apeta gwaro racho, akaridzorera kumurindi, ndokugara pasi; uye maziso evanhu vese vaiva musinagogi akanga ari paari. 21 Akabva ati kwavari: “Nhasi rugwaro rwamuchangobva kunzwa urwu rwazadziswa.”+

22 Vese vakatanga kumupupurira zvakanaka vachishamiswa nemashoko anofadza aibuda mumuromo make,+ vachiti: “Haasi iye mwanakomana waJosefa here uyu?”+ 23 Akati kwavari: “Ndine chokwadi kuti muchashandisa mashoko aya pandiri, ‘Chiremba, zvirape. Itawo kuno kumusha kwako zvinhu zvatakanzwa kuti wakaita kuKapenaume.’”+ 24 Saka akati: “Chokwadi ndinokuudzai kuti hapana muprofita anogamuchirwa kumusha kwake.+ 25 Asi ndinokuudzai chokwadi: Kwaiva nechirikadzi dzakawanda muIsraeri mumazuva aEriya paya pakavharwa denga kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu, nyika yese ikaita nzara huru.+ 26 Asi Eriya haana kutumwa kune mumwe wevakadzi ivavo. Akangotumwa kune imwe chirikadzi yekuZarefati kunyika yeSidhoni.+ 27 Kwaivawo nevakawanda vaiva nemaperembudzi muIsraeri munguva yemuprofita Erisha; asi hapana kana mumwe wavo akacheneswa,* kunze kwaNaamani wekuSiriya.”+ 28 Vese vainzwa mashoko aya vari musinagogi vakaviruka nehasha,+ 29 uye vakasimuka, vakakurumidza kubuda naye kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakirwa guta ravo, vachida kumusundidzira kuti adonhe nemusoro. 30 Asi akapinda nepakati pavo chaipo, akabva atoenda.+

31 Akabva adzika kuKapenaume, guta reGarireya. Uye aivadzidzisa paSabata,+ 32 vachishamiswa nemadzidzisiro ake,+ nekuti aitaura zvine chiremera. 33 Musinagogi maiva nemumwe murume akanga akagarwa nemweya usina kuchena, uye akashevedzera nenzwi guru achiti:+ 34 “Aa! Munei nesu, Jesu wekuNazareta?+ Mauya kuzotiparadza here? Ndinonyatsoziva kuti ndimi ani, Mutsvene waMwari.”+ 35 Asi Jesu akatuka dhimoni racho achiti: “Nyarara, ubude maari.” Saka rakadonhedzera murume wacho pasi pakati pavo, rikabva rabuda maari risina kumukuvadza. 36 Izvi zvakaita kuti vese vashamisike, uye vakatanga kutaurirana vachiti: “Uku kutaura kwerudzii? Anotaura nechiremera nesimba achiudza mweya isina kuchena kuti ibude, iyo yobuda!” 37 Saka mashoko pamusoro pake akaramba achipararira nenyika yacho yese.

38 Paakabva pasinagogi, akapinda mumba maSimoni. Amai vemudzimai waSimoni vakanga vachirwara nefivha yakasimba kwazvo, uye akakumbirwa kuti avabatsire.+ 39 Saka akamira pavaiva, akatuka fivha yacho, ikabuda mavari. Vakabva vasimuka pakarepo, vakatanga kuvagadzirira zvekudya.

40 Asi zuva parakanga rava kuvira, vese vaiva nevanhu vanorwara nezvirwere zvakasiyana-siyana vakauya navo kwaari. Akavarapa nekuisa maoko ake pane mumwe nemumwe wavo.+ 41 Madhimoni aibudawo mune vazhinji, achishevedzera kuti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.”+ Asi iye aiatuka, asingaabvumiri kutaura,+ nekuti aiziva kuti ndiKristu.+

42 Asi pakwakaedza, akabuda, akaenda kwake ega.+ Asi vanhu vakatanga kumutsvaga,* vakasvika kwaakanga ari, uye vakaedza kumunyengetedza kuti asavasiya. 43 Asi iye akati kwavari: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari mune mamwe maguta, nekuti ndizvo zvandakatumwa kuzoita.”+ 44 Saka akaenderera mberi achiparidza mumasinagogi eJudhiya.

5 Mumwe musi paakanga akamira pedyo neGungwa reGenesareti,* vanhu vazhinji vaisundidzirana kuti vaswedere paari vateerere shoko raMwari.+ 2 Akaona zvikepe zviviri zvakamiswa pamahombekombe egungwa, asi vabati vehove vakanga vaburuka vava kugeza mambure avo.+ 3 Akakwira mune chimwe chikepe chacho, icho chaiva chaSimoni, akamukumbira kuti achifambise chipinde mugungwa zvishoma. Akabva agara pasi, akatanga kudzidzisa vanhu vazhinji ari muchikepe chacho. 4 Paakapedza kutaura, akati kuna Simoni: “Endai pakadzika, mudzikise mambure enyu kuti mubate.” 5 Asi Simoni akapindura achiti: “Murayiridzi, tashanda zvakaoma usiku hwese uye hapana chatabata,+ asi sezvo muri imi mataura ndichadzikisa mambure acho.” 6 Pavakaita izvi, vakabata hove dzakawandisa. Mambure avo akanga ava kutotanga kubvaruka.+ 7 Saka vakasimudza maoko vachishevedza vamwe vavo vaiva mune chimwe chikepe kuti vauye kuzovabatsira, uye vakauya, vakazadza zvikepe zvese zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura. 8 Simoni Petro paakaona izvi, akagwadama pamberi paJesu, achiti: “Ibvai kwandiri Ishe, nekuti ndiri munhu anotadza.” 9 Nekuti iye nevamwe vaaiva navo vakashamiswa nekuwanda kwehove dzavakabata, 10 uye Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi,+ vaishanda pamwe chete naSimoni, vakashamiswawo. Asi Jesu akati kuna Simoni: “Rega kutya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.”+ 11 Saka vakadzosa zvikepe kumahombekombe, vakasiya zvinhu zvese vakamutevera.+

12 Mumwe musi ari mune rimwe guta, paiva nemumwe murume akanga akazara maperembudzi. Paakaona Jesu, akamupfugamira, akamuteterera achiti: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”+ 13 Saka akatambanudza ruoko rwake, akamubata, achiti: “Ndinoda! Cheneswa.” Maperembudzi acho akabva angonyangarika.+ 14 Akabva arayira murume wacho kuti arege kuudza vanhu, akati: “Asi enda unozviratidza kumupristi, upe chibayiro chaunofanira kupa pakucheneswa kwawaitwa, sezvakarayirwa naMozisi,+ kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 15 Asi mashoko pamusoro pake akaramba achingopararira, uye vanhu vakawanda vaiungana kuti vateerere uye varapwe zvirwere zvavo.+ 16 Asi aiwanzoenda kwake ega achinonyengetera.

17 Rimwe zuva achidzidzisa, paiva nevaFarisi nevadzidzisi veMutemo vakanga vabva mumisha yese yeGarireya neJudhiya neJerusarema vakanga vakagara ipapo; uye simba raJehovha* raiva paari richiita kuti aporese.+ 18 Uye paiva nevarume vakanga vakatakura mumwe murume akanga akaoma mutezo ari pakamubhedha, uye vaiedza kupinda naye kuti vamuise pamberi paJesu.+ 19 Pavakashaya pekumupinza napo nemhaka yekuwanda kwevanhu, vakakwira padenga remba, vakavhura pekumupinza napo vakamudzikisa pakati pevanhu vaiva pamberi paJesu ari pakamubhedha kake. 20 Paakaona kutenda kwavo akati: “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.”+ 21 Vanyori nevaFarisi vakatanga kufunga kuti: “Ndiani iyeye anotaura zvekumhura? Ndiani anogona kuregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”+ 22 Asi Jesu akaziva zvavaifunga, akavapindura achiti: “Muri kufungirei zvakadaro mumwoyo menyu? 23 Ndezvipi zviri nyore, kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? 24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba rekuregerera zvivi panyika—” iye akati kumurume akanga akaoma mutezo: “Ndinoti kwauri, Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.”+ 25 Akabva asimuka pamberi pavo, akatakura kamubhedha kake, akaenda kumba kwake, achikudza Mwari. 26 Vese vakashamiswa chaizvo, vakatanga kukudza Mwari. Vachishamiswa kudaro vakati: “Nhasi taona zvinhu zvatisati tamboona!”

27 Pashure pacho, akabuda ndokuenda, uye akaona muteresi ainzi Revhi akagara pahofisi yemutero, akati kwaari: “Iva muteveri wangu.”+ 28 Uye akasiya zvinhu zvese, akasimuka ndokutanga kumutevera. 29 Revhi akabva amuitira mabiko makuru mumba make, uye paiva nevateresi vakawanda nevamwewo vanhu vavaidya navo.+ 30 VaFarisi nevanyori vavo vakabva vatanga kugunun’unira vadzidzi vake, vachiti: “Nei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi?”+ 31 Jesu akavapindura achiti: “Vaya vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.+ 32 Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi kuti vapfidze zvivi zvavo.”+

33 Ivo vakati kwaari: “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kakawanda uye vanonyengetera vachiteterera, uye kunyange vadzidzi vevaFarisi vanodarowo, asi venyu vanodya nekunwa.”+ 34 Jesu akati kwavari: “Mungaita kuti shamwari dzemurume ari kuroora dzitsanye idzo dzichiinaye here? 35 Asi mazuva achauya padzichatorerwa murume wacho;+ dzichabva dzatsanya mumazuva iwayo.”+

36 Akavataurirawo mumwe mufananidzo achiti: “Hapana munhu anocheka chigamba panguo yekunze itsva ochisonera panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvaruka. Chigamba chenguo itsva hachipindirani nenguo yekare.+ 37 Uyewo hapana munhu anoisa waini itsva muhomwe dzematehwe tsaru. Kana akadaro, waini yacho inobvarura homwe dzacho, yorasika, homwe dzacho dzoparara. 38 Asi waini itsva inofanira kuiswa muhomwe dzematehwe itsva. 39 Hapana munhu anenge anwa waini yekare anozoda itsva, nekuti anoti, ‘Yekare inonaka.’”

6 Mumwe musi riri Sabata, aipfuura hake nemuminda yezviyo,* uye vadzidzi vake vaitemha hura dzezviyo,+ vachidzipukuta nemaoko avo, vachidya.+ 2 Vamwe vaFarisi vakabva vati: “Muri kuitirei zvisingabvumirwi neMutemo paSabata?”+ 3 Asi Jesu akavapindura kuti: “Hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi nevarume vaaiva navo pavaiva nenzara?+ 4 Kuti akapinda sei muimba yaMwari, akapiwa chingwa chekuratidza, akadya nevarume vaaiva navo, icho chisingabvumirwi nemutemo kuti chidyiwe nemumwe munhu kunze kwevapristi chete?”+ 5 Akabva ati kwavari: “Mwanakomana wemunhu ndiye Ishe weSabata.”+

6 Rimwe zuva riri Sabata zvakare,+ akapinda musinagogi, akatanga kudzidzisa. Uye maiva nemumwe murume aiva neruoko rwerudyi rwakakokonyara.+ 7 Vanyori nevaFarisi vakanga vakanyatsotarisa Jesu vachida kuona kana aizorapa paSabata, kuti vamuwanire mhosva. 8 Asi aiziva zvavaifunga,+ saka akati kumurume aiva neruoko rwakakokonyara: “Simuka umire pakati apa.” Iye akasimuka akamira ipapo. 9 Jesu akabva ati kwavari: “Regai ndimbokubvunzai, Zvinobvumirwa here neMutemo paSabata kuita chinhu chakanaka kana kuti chakaipa, kuponesa upenyu* kana kuhuparadza?”+ 10 Akavatarisa vese, ndokuti kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, rukaporeswa. 11 Asi vakagumbuka chaizvo, vakatanga kurangana kuti vangaita sei naJesu.

12 Rimwe zuva akaenda kugomo kunonyengetera,+ uye akanyengetera kuna Mwari usiku hwese.+ 13 Pakwakaedza, akashevedza vadzidzi vake, akasarudza 12 pakati pavo, vaakatumidzawo kuti vaapostora:+ 14 Simoni, waakatumidzawo kuti Petro, naAndreya munin’ina wake, naJakobho, Johani, Firipi,+ Bhatoromeyo, 15 Mateu, Tomasi,+ Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Simoni anonzi “mushingairi,” 16 Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.

17 Uye akaburuka navo, vakamira panzvimbo yakati sandara, paiva nevadzidzi vake vakawanda, nevanhu vazhinji vaibva muJudhiya mese neJerusarema nenharaunda iri pedyo negungwa yeTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa uye kuzoporeswa zvirwere zvavo. 18 Kunyange vaya vainetswa nemweya isina kuchena vakarapwa. 19 Uye vanhu vese vaiedza kumubata, nekuti simba raibuda maari+ richivaporesa vese.

20 Akatarisa vadzidzi vake, akatanga kuti:

“Munofara imi varombo, nekuti Umambo hwaMwari ndehwenyu.+

21 “Munofara imi mune nzara iye zvino, nekuti muchagutiswa.+

“Munofara imi muri kuchema iye zvino, nekuti muchaseka.+

22 “Munofara imi pese pamunovengwa nevanhu,+ uye pavanokusarurai+ nekukuzvidzai uye pavanoshora zita renyu vachiti makaipa pamusana peMwanakomana wemunhu. 23 Farai pazuva iroro musvetuke nemufaro, nekuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nekuti zvinhu izvozvo ndizvo zvaiitwa nemadzitateguru avo kuvaprofita.+

24 “Asi mune nhamo imi vapfumi,+ nekuti makatowana kare kunyaradzwa kwenyu kwese.+

25 “Mune nhamo imi makaguta iye zvino, nekuti muchava nenzara.

“Mune nhamo, imi muri kuseka iye zvino, nekuti muchachema muchiridza mhere.+

26 “Mune nhamo kana vanhu vese vachitaura zvakanaka nezvenyu,+ nekuti izvi ndizvo zvakaitwa nemadzitateguru avo kuvaprofita venhema.

27 “Asi ini ndinoti kwamuri imi makateerera: Rambai muchida vavengi venyu, muchiitira zvakanaka vaya vanokuvengai,+ 28 muchikomborera vaya vanokutukai, muchinyengeterera vaya vanokudenhai.+ 29 Anokurova padama, mupe rimwe racho; uye anokutorera nguo yako yekunze, usaramba kumupa nguo yako yemukati.+ 30 Ipa munhu wese anokukumbira,+ uye uya anokutorera zvinhu zvako, usamuti akudzorere.

31 “Uyewo, zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.+

32 “Kana muchingoda vaya vanokudai, chii chamunganzi magona? Nekuti kunyange vatadzi vanoda vaya vanovada.+ 33 Uye kana muchingoitira zvakanaka vaya vanokuitirai zvakanaka, chii chamunganzi magona? Kunyange vatadzi vanoitawo izvozvo. 34 Uyewo, kana muchikweretesa* vaya vamunotarisira kuti vazokudzorerai, chii chamunganzi magona?+ Kunyange vatadzi vanokweretesa vatadzi vachida kudzorerwa zvese zvavakweretesa. 35 Asi imi rambai muchida vavengi venyu, muchiita zvakanaka, muchikweretesa musingatarisiri kudzorerwa;+ uye mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWekumusorosoro, nekuti anoratidza mutsa kune vasingaongi nevakaipa.+ 36 Rambai muchinzwira vamwe tsitsi, sezvo Baba venyu vaine tsitsi.+

37 “Zvakare, regai kutonga, kuti imi murege kutongwawo;+ uye regai kuwanira vamwe mhosva, kuti imi murege kuwanirwawo mhosva. Rambai muchiregerera,* uye mucharegererwawo.*+ 38 Garai muchipa vamwe, uye vanhu vachakupaiwo.+ Vachakudururirai chiyero chakazara muhomwe yenyu, chakatsindirwa, chikazunguzirwa, uye chichifashukira. Nekuti chiyereso chamunoyerera vamwe nacho, ndicho chavachakuyereraiwo nacho.”

39 Akabva avaudzawo mufananidzo, achiti: “Pane bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Handiti ese ari maviri angawira mugomba?+ 40 Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wese anonyatsorayiridzwa achafanana nemudzidzisi wake. 41 Saka unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni danda riri muziso rako?+ 42 Ungati sei kuhama yako, ‘Hama yangu, rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe usingaoni danda riri muziso rako? Munyengeri! Tanga wabvisa danda riri muziso rako, uye uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.

43 “Nekuti hapana muti wakanaka unobereka michero yakaora, uye hapana muti wakaora unobereka michero yakanaka.+ 44 Nekuti muti mumwe nemumwe unozivikanwa nemichero yawo.+ Semuenzaniso, vanhu havatemhi maonde paminzwa, uye havacheki mazambiringa pagwenzi reminzwa. 45 Munhu akanaka anobudisa zvakanaka kubva papfuma yakanaka iri mumwoyo make, asi munhu akaipa anobudisa zvakaipa kubva papfuma yake yakaipa; nekuti muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.+

46 “Saka nei muchinditi ‘Ishe! Ishe!’ asi musingaiti zvandinotaura?+ 47 Regai ndikuudzei kuti munhu wese anouya kwandiri, onzwa mashoko angu, oaita, akafanana naani:+ 48 Akafanana nemumwe murume aivaka imba, ndokuchera achidzika pasi chaipo, akaisa faundesheni yacho paruware. Mafashamo paakauya, rwizi rwaiuya ruchirovera nesimba paimba iyoyo, asi rwakatadza kuizunungusa, nekuti yakanga yakanyatsovakwa.+ 49 Asi uya anonzwa asingaiti,+ akafanana nemunhu akavakira imba yake pamusoro pevhu asi asina kuchera faundesheni. Rwizi rwakarovera nesimba pairi, ikabva yangowondomoka, ndokuparara yese.”

7 Paakanga apedza kutaura zvaaida kuudza vanhu, akapinda muKapenaume. 2 Paiva nemumwe mukuru weuto aiva nemuranda wake waaida chaizvo, uye muranda wacho airwara zvekuda kufa.+ 3 Paakanzwa nezvaJesu, akatuma vamwe vakuru vevaJudha kunomukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. 4 Vakasvika kuna Jesu vakatanga kumuteterera nemwoyo wese, vachiti: “Akakodzera kuti mumubatsire, 5 nekuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akativakira sinagogi.” 6 Saka Jesu akaenda navo. Asi paakanga ava pedyo nemba yacho, mukuru weuto akatuma shamwari dzake kuti dzinoti kwaari: “Changamire, musazvinetsa zvenyu, nekuti handina kukodzera kuti mupinde mumba mangu.+ 7 Ndokusaka ndaona ndisina kukodzera kuuya kwamuri. Asi taurai henyu shoko, muite kuti muranda wangu apore. 8 Nekuti neniwo ndiri pasi pevamwe, ndiine varwi vari pasi pangu, uye ndinoti kune uyu, ‘Enda!’ uye anoenda, uye kune mumwe, ‘Uya!’ uye anouya, uye kumuranda wangu, ‘Ita izvi!’ uye anozviita.” 9 Jesu paakanzwa mashoko aya, akashamiswa, akatarisa vanhu vazhinji vaimutevera akati: “Ndinokuudzai, handina kumbowana kutenda kwakakura kudai kunyange muIsraeri chaimo.”+ 10 Uye vaya vakanga vatumwa pavakadzokera kumba, vakawana muranda wacho apora.+

11 Achingobva ipapo, akaenda kuguta rainzi Naini nevadzidzi vake pamwe nevanhu vakawanda. 12 Paakanga ava pedyo negedhi reguta, vakasangana nevanhu vakanga vakatakura murume akafa vachibuda naye kunze. Uyu akanga ari mwanakomana mumwe chete* waamai vake,+ avo vakanga vava chirikadzi. Vanhu vakawanda vaibva muguta vaivawo naamai vacho. 13 Ishe paakaona amai ava, akasiririswa navo,+ akati kwavari: “Musachema.”+ 14 Akabva aswedera pedyo, akabata hwanyanza,* uye vakanga vakamutakura vakamira. Akabva ati: “Jaya, ndinoti kwauri, muka!”+ 15 Murume wacho akanga akafa akabva agara, akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna amai vake.+ 16 Vese vakatanga kutya, vakatanga kukudza Mwari, vachiti: “Muprofita mukuru amutswa pakati pedu.”+ Vakatiwo, “Mwari afunga vanhu vake.”+ 17 Uye zvaakaita izvi zvakapararira muJudhiya yese nemumaruwa ese akapoteredza.

18 Vadzidzi vaJohani vakaenda kunomuudza zvinhu zvese izvi.+ 19 Saka Johani akashevedza vamwe vadzidzi vake vaviri, akavatuma kunaShe kunobvunza kuti: “Ndimi here uya akanzi Anouya,+ kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?” 20 Pavakasvika kwaari, varume vacho vakati: “Tatumwa naJohani Mubhabhatidzi kuzokubvunzai kuti, ‘Ndimi here uya akanzi Anouya, kana kuti tinofanira kutarisira mumwe?’” 21 Panguva iyoyo, akaporesa vanhu vakawanda vairwara,+ vaiva nezvirwere zvinotambudza, nemweya yakaipa, uye akaita kuti mapofu akawanda atange kuona. 22 Akavapindura achiti: “Endai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa, zvekuti: Mapofu ava kuona,+ vanokamhina vava kufamba zvakanaka, vane maperembudzi vari kucheneswa, matsi dziri kunzwa,+ vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.+ 23 Anofara munhu asingawani chinomugumbura pandiri.”+

24 Nhume dzaJohani padzakanga dzaenda, Jesu akatanga kubvunza vanhu nezvaJohani achiti: “Pamakabuda muchienda kurenje maienda kunoonei? Tsanga yaizununguswa nemhepo here?+ 25 Saka makaenda kunoonei? Munhu akapfeka zvipfeko zvakapfavirira*+ here? Nekuti vaya vanopfeka zvipfeko zvakapfavirira uye vanorarama upenyu hweumbozha vanogara mudzimba dzemadzimambo. 26 Saka makaenda kunooneiko? Muprofita here? Chokwadi, ndinokuudzai, anotopfuura muprofita.+ 27 Uyu ndiye akanyorwa nezvake kuti: ‘Inzwai! Ndiri kutuma nhume yangu ichafanokugadzirira nzira pamberi pako.’+ 28 Ndinokuudzai kuti, pavanhu vese vakararama* hapana kumbova nemukuru kuna Johani, asi mudiki kune vamwe vese muUmambo hwaMwari mukuru kwaari.”+ 29 (Vanhu vese nevateresi pavakanzwa izvi, vakabvuma kuti Mwari akarurama, nekuti vakanga vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohani.+ 30 Asi vaFarisi nevaya vainyatsoziva Mutemo vakaramba zano raMwari,+ sezvo vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.)

31 “Saka vanhu vechizvarwa chino ndingavaenzanisa naani, uye vakafanana naani?+ 32 Vakafanana nevana vadiki vakagara mumusika vachishevedzera kuvamwe vavo vachiti: ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takaridza mhere, asi hamuna kuchema.’ 33 Saizvozvowo Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini,+ asi munoti: ‘Ane dhimoni.’ 34 Mwanakomana wemunhu akauya achidya uye achinwa, asi munoti: ‘Onai! Munhu anokara uye anonwisa waini, shamwari yevateresi nevatadzi!’+ 35 Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama* nevana vahwo vese.”*+

36 Mumwe muFarisi akaramba achimukumbira kuti azodya naye. Saka akapinda mumba memuFarisi wacho, akagara kuti vadye. 37 Mumwe mukadzi aizivikanwa muguta racho kuti aiva mutadzi akanzwa kuti akanga achidya mumba memuFarisi wacho, uye akauya nechinu chearabhasta* chaiva nemafuta anonhuhwirira.+ 38 Akauya nekuseri kwake kwaiva netsoka dzake, akachema, uye akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake, akadzipukuta nebvudzi rake. Uyewo akatsvoda tsoka dzake zvinyoronyoro, akadzidira mafuta anonhuhwirira. 39 MuFarisi ainge akoka Jesu paakazviona akati nechemumwoyo: “Dai munhu uyu aiva muprofita zvechokwadi, angadai aziva kuti mukadzi uyu ari kumubata ndiani uye kuti akaita sei. Angadai aziva kuti iye mutadzi.”+ 40 Asi Jesu akamupindura achiti: “Simoni, pane zvandiri kuda kutaura newe.” Iye akati: “Mudzidzisi, taurai henyu!”

41 “Paiva nevarume vaviri vaiva nechikwereti nemumwe munhu aiita zvekukweretesa; mumwe aiva nechikwereti chemadhinari* 500, mumwe wacho aine che50. 42 Pavakatadza kubhadhara zvikwereti zvavo, akangovaregerera vese. Saka pavaviri ava ndeupi achanyanya kumuda?” 43 Simoni akapindura achiti: “Ndinofunga kuti ndeuya waakadzimira chikwereti chakakura.” Iye akati kwaari: “Wapindura zvakanaka.” 44 Akabva atendeukira kumukadzi uya akati kuna Simoni: “Uri kuona mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa mvura yekugeza tsoka dzangu. Asi mukadzi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipukuta nebvudzi rake. 45 Hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu haana kumbomira kutsvoda tsoka dzangu, kubvira pandapinda muno. 46 Hauna kudira mafuta mumusoro mangu, asi mukadzi uyu adira tsoka dzangu mafuta anonhuhwirira. 47 Nekuda kwezvaaita, ndiri kukuudza kuti kunyange zvazvo zvivi zvake zvakawanda,* zvaregererwa,+ nekuti aratidza rudo rukuru. Asi uya anoregererwa zvishoma, anoratidza rudo zvishoma.” 48 Akabva ati kumukadzi wacho: “Zvivi zvako zvaregererwa.”+ 49 Vaya vaakanga achidya navo vakatanga kutaurirana vachiti: “Munhu uyu ambori ani anotoregerera zvivi?”+ 50 Asi akati kumukadzi wacho: “Kutenda kwako kwakuponesa;+ enda hako nerugare.”

8 Achingobva ipapo, akatanga kufamba nemaguta ese uye nemisha yese achiparidza nekuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.+ Uye aiva nevane Gumi Nevaviri, 2 nevamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa uye pazvirwere vanoti: Mariya ainzi Magadharini, akanga abuda madhimoni manomwe; 3 Joana+ mudzimai waKuza, mutariri weimba yaHerodhi; Suzana; nevamwe vakadzi vakawanda, vaivashumira vachishandisa zvinhu zvavo.+

4 Vanhu vakawanda pavakanga vaungana pamwe chete nevaya vaaifamba navo mumaguta, akataura achishandisa mufananidzo, achiti:+ 5 “Mudyari akaenda kunodyara mbeu yake. Paaikusha mbeu, imwe mbeu yakawira parutivi pemugwagwa, ikatsikwa-tsikwa, shiri dzekudenga dzikaidya yese.+ 6 Imwe yakawira pamatombo, uye payakamera, yakaoma nekuti pakanga pasina unyoro.+ 7 Imwe yakawira muminzwa, ikavhungwa neminzwa yaikura pamwe chete nayo.+ 8 Asi imwe yakawira paivhu rakanaka, uye payakamera yakabereka zvakapetwa ka100.”+ Paaitaura zvinhu izvi, akabva ashevedzera achiti: “Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.”+

9 Asi vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei.+ 10 Iye akati: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene* zveUmambo hwaMwari, asi vamwe vese vanozvipiwa nemifananidzo,+ kuitira kuti kunyange vachitarisa, vanotarisa pasina, uye kunyange vachinzwa, havabati zviri kutaurwa.+ 11 Izvi ndizvo zvinorehwa nemufananidzo wacho: Mbeu ishoko raMwari.+ 12 Iya iri parutivi pemugwagwa ndevaya vanenge vanzwa, uye Dhiyabhorosi anouya obvisa shoko mumwoyo mavo kuti varege kutenda votadza kuponeswa.+ 13 Iya iri pamatombo ndevaya vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nemufaro, asi havana midzi. Vanongotenda kwenguva pfupi, asi panguva yekuedzwa, vanobva vawa.+ 14 Kana iri iya yakawira muminzwa, ndevaya vakanzwa, asi kutsauswa kwavanoitwa nekuzvidya mwoyo, nepfuma,+ nemafaro eupenyu huno,+ kunoita kuti vavhungwe zvachose, uye zvibereko zvavo hazvisviki pakuibva.+ 15 Kana iri iya yepaivhu rakanaka, ndevaya vanoti pavanenge vanzwa shoko nemwoyo wakarurama uye wakanaka,+ vanorichengeta, vobereka zvibereko vachitsungirira.+

16 “Hapana munhu anoti kana abatidza rambi, orifukidza nemudziyo kana kuriisa pasi pemubhedha, asi kuti anoriisa pachigadziko cherambi, kuti vaya vanopinda vavhenekerwe.+ 17 Nekuti hapana chinhu chakavigwa chisingazobudi pachena, kana kuti chinhu chakavanzwa zvachose chisingafi chakazivikanwa uye chisingabudi pachena.+ 18 Saka nyatsongwarirai kuti munoteerera sei, nekuti munhu wese anazvo,+ achawedzerwa zvimwe, asi wese asina, achatorerwa kunyange zvaanofunga kuti anazvo.”+

19 Amai vake nevanin’ina vake vakauya,+ asi vakatadza kusvika paaiva nekuti vanhu vakanga vakawanda.+ 20 Saka akaudzwa kuti: “Amai vako nevanin’ina vako vakamira panze; vari kuda kukuona.” 21 Akavapindura kuti: “Amai vangu nevanin’ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari voita zvarinotaura.”+

22 Rimwe zuva akakwira chikepe nevadzidzi vake, akavati: “Ngatiyambukei mhiri kwegungwa.” Saka vakasimuka vakaenda.+ 23 Asi pavaifamba, akabatwa nehope. Dutu rine simba kwazvo rakabva ratanga vari mugungwa, uye chikepe chavo chakanga chava kuzara mvura, chava kuda kuparara.+ 24 Saka vakaenda kwaari, vakamumutsa vachiti: “Murayiridzi, Murayiridzi, tava kufa!” Iye akabva amuka, akatsiura mhepo yacho nemvura yacho yaiva nehasha, zvikanyarara, kukabva kwadzikama.+ 25 Akabva ati kwavari: “Kutenda kwenyu kuripi?” Asi ivo vakanga vava kutya, vachishamisika, uye vaitaurirana vachiti: “Munhu uyu anombova ani anoudza mhepo nemvura zvekuita, zvomuteerera?”+

26 Vakasvika kumhenderekedzo munharaunda yevaGerasa,+ iri kune rumwe rutivi rweGungwa reGarireya. 27 Jesu paakabuda muchikepe, mumwe murume wemuguta racho akanga akagarwa nemadhimoni akasangana naye. Akanga ava nenguva achigara asina kupfeka, uye aigara kumakuva* kwete mumba.+ 28 Paakangoona Jesu, akashevedzera, akazviwisira pamberi pake, uye akati nenzwi guru: “Munei neni, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusorosoro? Ndinokumbira kuti musandirwadzisawo.”+ 29 (Nekuti Jesu aiudza mweya wacho usina kuchena kuti ubude mumurume wacho. Wakanga wamubata kakawanda,*+ uye aigara achisungwa necheni nezvisungo zvemumakumbo, achichengetedzwa, asi aidambura zvisungo zvacho obva aendeswa nedhimoni racho kunzvimbo dzisina vanhu.) 30 Jesu akamubvunza kuti: “Unonzi ani?” Iye akati: “Rigiyoni,” nekuti akanga akagarwa nemadhimoni akawanda. 31 Uye aimuteterera kuti asaarayira kuenda mugomba rakadzikadzika.+ 32 Paiva nenguruve dzakawanda+ dzaifudzwa mugomo imomo, saka akamuteterera kuti aabvumire kupinda madziri uye akaabvumira.+ 33 Madhimoni acho akabva abuda mumurume wacho, akapinda munguruve, dzikamhanya nepamawere dzichipinda mugungwa, dzikanyura. 34 Asi vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, vakatiza, vakanozvitaura muguta nemumamisha.

35 Vanhu vakabva vabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakauya kuna Jesu, vakawana murume wacho akanga abuda madhimoni, akapfeka, ava munhu kwaye, akagara pedyo naJesu, uye vakatya. 36 Vaya vakanga vazviona vakavaudza kuti munhu uya aimbova nemadhimoni akanga aporeswa sei. 37 Vanhu vakawanda vemunharaunda yevaGerasa vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nekuti vakanga vava kutya zvikuru. Saka akabva akwira muchikepe kuti aende. 38 Asi murume uya akanga abuda madhimoni akaramba achimukumbira kuti arambe ainaye, asi akaudza murume wacho kuti aende, achiti kwaari:+ 39 “Dzokera kumba, urambe uchiudza vamwe zvawaitirwa naMwari.” Saka akaenda achizivisa muguta rese zvaakanga aitirwa naJesu.

40 Jesu paakadzoka, vanhu vakamutambira zvakanaka, nekuti vese vakanga vachimutarisira.+ 41 Asi pakabva pasvika mumwe murume ainzi Jairosi; murume uyu aiva mukuru aitungamirira sinagogi. Uye akawira patsoka dzaJesu, akatanga kumuteterera kuti aende naye kumba kwake,+ 42 nekuti mwanasikana wake mumwe chete,* uyo aiva nemakore angasvika 12, akanga ava kuda kufa.

Jesu paaifamba achienda, vanhu vaisundidzirana paari. 43 Paiva nemumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 achibuda ropa,+ uye aishaya munhu angakwanisa kumurapa.+ 44 Akauya nechekumashure ndokubata masa* enguo yake yekunze,+ uye ropa rake rikabva rangomira kubuda. 45 Saka Jesu akati: “Ndiani andibata?” Vese pavairamba, Petro akabva ati: “Murayiridzi, vanhu vakakumomoterai uye vari kusundidzirana pamuri.”+ 46 Asi Jesu akati: “Pane munhu andibata, nekuti ndinoziva kuti simba+ rabuda mandiri.” 47 Paakaona kuti akanga azivikanwa, mukadzi wacho akauya achidedera, ndokuzviwisira pamberi pake, akataura pamberi pevanhu vese kuti akanga amubatirei uye kuporeswa kwaakanga aitwa pakarepo. 48 Asi iye akati kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako nerugare.”+

49 Achiri kutaura kudaro, mumwe mumiririri wemukuru aitungamirira sinagogi akasvika achiti: “Mwanasikana wenyu afa; chiregai henyu kunetsa Mudzidzisi.”+ 50 Jesu paakazvinzwa akamuudza kuti: “Usatya hako, ingova nekutenda chete, uye achaponeswa.”+ 51 Paakasvika pamba pacho, akarambidza vamwe vese kupinda, kunze kwaPetro, Johani, Jakobho, nababa naamai vemusikana wacho. 52 Asi vanhu vese vaichema vachizvirova neshungu. Saka akati: “Musachema,+ nekuti haana kufa asi akarara.”+ 53 Vakabva vatanga kumuseka zvekutsvinya, nekuti vaiziva kuti akanga afa. 54 Asi iye akamubata ruoko akamushevedza achiti: “Mwanangu, muka!”+ 55 Simba rake reupenyu+ rakadzoka,* akabva asimuka pakarepo,+ uye akataura kuti vamupe chekudya. 56 Vabereki vake vakanga vasingachabatiki nekufara, asi akavarayira kuti vasatomboudza munhu zvakanga zvaitika.+

9 Akabva aunganidza vane Gumi Nevaviri, akavapa simba nechiremera zvekudzinga madhimoni ese+ nekurapa zvirwere.+ 2 Uye akavatuma kunoparidza nezveUmambo hwaMwari nekuporesa, 3 akati kwavari: “Musatakura chinhu parwendo rwacho, ungava mudonzvo kana homwe yezvekudya, kana chingwa kana mari;* uye musava nenguo mbiri.*+ 4 Asi kwese kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva munzvimbo iyoyo.+ 5 Uye kwese kwamusingagamuchirwi nevanhu, pamunobuda muguta iroro, zunzai guruva riri patsoka dzenyu kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 6 Vachibva ipapo vakapinda musha mumwe nemumwe munharaunda yacho yese vachizivisa mashoko akanaka nekurapa vanorwara.+

7 Herodhi* mutongi weruwa akanzwa zvese zvaiitika, uye akavhiringidzika chaizvo nekuti vamwe vanhu vaiti Johani akanga amutswa kuvakafa,+ 8 vamwe vachiti Eriya akanga aonekwa, vamwewo vachiti mumwe wevaprofita vekare akanga amuka.+ 9 Herodhi akati: “Johani ndakamudimbura musoro.+ Ko uyu wandiri kunzwa kuti ari kuita zvinhu zvakadaro ndiani?” Saka aida chaizvo kumuona.+

10 Vaapostora pavakadzoka, vakaudza Jesu zvese zvavakanga vaita.+ Akabva avatora akaenda navo kwavo vega muguta rinonzi Bhetisaidha.+ 11 Asi vanhu pavakazviziva, vakamutevera. Uye akavagamuchira zvakanaka, akatanga kuvaudza nezveUmambo hwaMwari, uye akaporesa vaya vairwara.+ 12 Zuva rakanga rava kunyura. Vane Gumi Nevaviri vakauya, vakati kwaari: “Chiregai vanhu vaende mumisha nemumaruwa akapoteredza, vanotsvaga pekurara nezvekudya, nekuti tiri kure nekunogara vanhu.”+ 13 Asi iye akati kwavari: “Vapei zvekudya imimi.”+ Ivo vakati: “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete, kunze kwekunge tichitofanira kuenda tonotengera vanhu vese ava zvekudya.” 14 Paiva nevarume vaigona kutosvika 5 000. Asi akati kuvadzidzi vake: “Itai kuti vagare vari mapoka, boka rimwe nerimwe riine vanhu vangasvika 50.” 15 Vakaita saizvozvo, vakaita kuti vese vagare pasi. 16 Akatora zvingwa zvacho zvishanu nehove dzacho mbiri, akatarisa kudenga, ndokuzvikomborera. Akabva azvimedura, akatanga kuzvipa vadzidzi kuti vape vanhu. 17 Saka vese vakadya vakaguta, uye vakaunganidza zvakanga zvasara, zvikaita tswanda 12.+

18 Rimwe zuva paakanga achinyengetera ari ega, vadzidzi vakauya kwaari, akavabvunza kuti: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+ 19 Vakapindura vachiti: “Johani Mubhabhatidzi, asi vamwe vanoti Eriya, vamwewo vachiti mumwe wevaprofita vekare akamuka.”+ 20 Akabva ati kwavari: “Ko imi, munoti ndini ani?” Petro akapindura achiti: “Kristu waMwari.”+ 21 Akabva avaudza kuti vasatombozviudza kana ani zvake,+ 22 asi akati: “Mwanakomana wemunhu anofanira kusangana nematambudziko akawanda, orambwa nevakuru nevatungamiriri vevapristi nevanyori, ourayiwa,+ ozomutswa pazuva rechitatu.”+

23 Akabva atizve kwavari vese: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe,+ atore danda rake rekutambudzirwa,* aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.+ 24 Nekuti munhu wese anoda kuponesa upenyu hwake* acharasikirwa nahwo, asi munhu wese anorasikirwa neupenyu hwake* nekuda kwangu ndiye achahuponesa.+ 25 Ko zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yese asi orasikirwa neupenyu hwake kana kuti oparara?+ 26 Nekuti munhu wese anonyara neni nemashoko angu, Mwanakomana wemunhu achanyarawo naye paanouya ari mukubwinya kwake nekwaBaba nekwengirozi tsvene.+ 27 Asi chokwadi ndinokuudzai kuti pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu vasati vaona Umambo hwaMwari.”+

28 Anenge mazuva 8 pashure pekunge ataura mashoko aya, akatora Petro naJohani naJakobho, akakwira navo mugomo kunonyengetera.+ 29 Paakanga achinyengetera, chiso chake chakachinja, zvipfeko zvake zvikava zvichena zvichipenya. 30 Uye pakabva paonekwa varume vaviri vachikurukura naye; vaiva Mozisi naEriya. 31 Ava vakaonekwa vachibwinya, vakatanga kutaura nezvekuenda kwake, kwaainge ava kuda kuzadzisa kuJerusarema.+ 32 Petro nevaya vaaiva navo vakanga vakundwa nehope, asi pavakazonyatsosvinura vakaona kubwinya kwake+ uye varume vacho vaviri vakanga vakamira naye. 33 Ava pavakanga vava kubva paaiva, Petro akati kuna Jesu: “Murayiridzi, zvakanaka kuti tiri pano. Saka regai tidzike matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.” Akanga asingazivi zvaaitaura. 34 Asi paaitaura kudaro, gore rakavapo, rikavakwidibira. Pavaifukidzwa negore racho, vakatanga kutya. 35 Inzwi+ rakabva rabuda mugore, richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, akasarudzwa.+ Muteererei.”+ 36 Painzwika inzwi iroro, Jesu akaonekwa ava ega. Asi vakaramba vakanyarara uye hapana wavakaudza zvavakaona mumazuva iwayo.+

37 Mangwana acho pavakaburuka mugomo, akasangana nevanhu vakawanda.+ 38 Uye mumwe murume akabva ashevedzera ari pakati pevanhu, achiti: “Mudzidzisi, ndinokumbirawo kuti mumboonawo mwanakomana wangu, nekuti ndiye ega wandiinaye.+ 39 Anoti kana abatwa nemweya, anotanga kuridza mhere, achigwinha-gwinha achipupa furo, uye unozobuda maari wamukuvadza patoita basa chairo. 40 Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vatadza.” 41 Jesu akapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda, chakamonyana,+ ndinofanira kuramba ndiinemi uye ndichikuitirai mwoyo murefu kusvikira riini? Uya nemwanakomana wako pano.”+ 42 Asi kunyange paakanga ava kusvika, dhimoni racho rakamurovera pasi, rikaita kuti agwinhe-gwinhe zvine simba. Asi Jesu akatuka mweya wacho usina kuchena, akaporesa mukomana wacho, akamudzorera kuna baba vake. 43 Uye vese vakashamiswa nesimba guru raMwari.

Pavakanga vachiri kushamiswa nezvinhu zvese zvaakanga achiita, akati kuvadzidzi vake: 44 “Nyatsoteererai muyeuke mashoko aya, nekuti Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu.”+ 45 Asi havana kunzwisisa zvaaitaura. Zvakanga zvakatovanzwa kwavari kuti vatadze kuzvibata, uye vaitya kumubvunza nezvazvo.

46 Vakabva vatanga kuitisana nharo dzekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo.+ 47 Jesu akaziva zvavaifunga, akabva atora mwana mudiki, akamumisa parutivi pake, 48 akati kwavari: “Munhu wese anogamuchira mwana mudiki uyu nekuda kwezita rangu anondigamuchirawo; uye munhu wese anondigamuchira anogamuchirawo iye akandituma.+ Nekuti munhu anozviita mudiki pakati penyu mese ndiye mukuru.”+

49 Johani akabva ati: “Murayiridzi, taona mumwe munhu achidzinga madhimoni achishandisa zita renyu, uye taedza kumurambidza, nekuti haasi kukuteverai pamwe chete nesu.”+ 50 Asi Jesu akati kwaari: “Musaedza kumurambidza, nekuti wese asingapesani nemi ari kurutivi rwenyu.”

51 Paiswedera mazuva ekuti akwidzwe,+ chido chake chakasimba chakanga chava chekuenda kuJerusarema. 52 Saka akatuma nhume kuti dzifanotungamira. Uye dzakaenda, dzikapinda mune mumwe musha wevaSamariya, kuti dzifanomugadzirira. 53 Asi havana kumugamuchira,+ nekuti akanga akananga kuJerusarema. 54 Vadzidzi vake Jakobho naJohani+ pavakaona izvi, vakati: “Ishe, munoda here kuti tishevedze moto ubve kudenga uvaparadze?”+ 55 Asi akatendeuka, akavatsiura. 56 Saka vakaenda kune mumwewo musha.

57 Pavakanga vachifamba mumugwagwa, mumwe munhu akati kwaari: “Ndichakuteverai kwese kwamunoenda.” 58 Asi Jesu akati kwaari: “Makava ane mwena yaanogara uye shiri dzekudenga dzine matendere, asi Mwanakomana wemunhu haana pekuisa musoro wake.”+ 59 Akabva ati kune mumwe: “Iva muteveri wangu.” Murume wacho akati: “Ishe, ndibvumirei kuti nditange ndaenda kunoviga baba vangu.”+ 60 Asi akati kwaari: “Rega vakafa+ vavige vakafa vavo, asi iwe enda unozivisa Umambo hwaMwari kwese kwese.”+ 61 Uyezve mumwe akati: “Ndichakuteverai Ishe, asi ndibvumirei kuti nditange ndanooneka vanhu vekumba kwangu.” 62 Jesu akati kwaari: “Hapana munhu anoti kana abata gejo otarisa zvinhu zviri shure+ akanyatsokodzera Umambo hwaMwari.”+

10 Pashure paizvozvo, Ishe akasarudza vamwe 70, akavatuma mberi kwake vari vaviri vaviri+ mumaguta ese nenzvimbo kwaaizoenda. 2 Akabva ati kwavari: “Kukohwa kukuru zvechokwadi, asi vashandi vashoma. Saka kumbirai Tenzi wekukohwa kuti atumire vashandi vanoita basa rake rekukohwa.+ 3 Chiendai! Onai! Ndiri kukutumai semakwayana ari pakati pemhumhi.+ 4 Musatakura chikwama, kana homwe yezvekudya, kana shangu,+ uye musakwazisa munhu* mumugwagwa. 5 Kwese kwamunopinda mumba, tangai mati: ‘Rugare ngaruve mumba muno.’+ 6 Uye kana mumba macho muine shamwari yerugare, rugare rwenyu ruchava paari. Asi kana musina, ruchadzokera kwamuri. 7 Saka garai mumba imomo,+ muchidya nekunwa zvavanokupai,+ nekuti mushandi akakodzera kuwana mubayiro wake.+ Musatama-tama muchibva pane imwe imba muchienda pane imwe.

8 “Uye kwese kwamunopinda muguta vokugamuchirai, idyai zvamunenge mapiwa 9 uye rapai vanorwara varimo, muvaudze kuti: ‘Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo nemi.’+ 10 Asi kwese kwamunopinda muguta vakasakugamuchirai, endai mumigwagwa yaro mikuru, muti: 11 ‘Tiri kukuzunzirai kunyange guruva rakanamatira patsoka dzedu muguta renyu.+ Asi zivai kuti Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo.’ 12 Ndinokuudzai kuti zvichaitika kuSodhomu pazuva iroro zviri nani pane zvichaitika kuguta iroro.+

13 “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! nekuti dai mabasa esimba akaitika mamuri akanga aitika muTire neSidhoni, maguta aya angadai akapfidza zvivi zvawo kare kare, akagara pasi akapfeka masaga nekuzora madota.+ 14 Saka zvichaitika kuTire neSidhoni pakutongwa zviri nani pane zvichaitika kwamuri. 15 Uye iwe, Kapenaume, uri kuti uchakwidziridzwa kudenga here? Uchadzika kuGuva!*

16 “Wese anokuteererai anonditeererawo.+ Uye wese anokuzvidzai anondizvidzawo. Uye wese anondizvidza anozvidzawo iye akandituma.”+

17 Vanhu 70 vaya vakazodzoka vachifara, vachiti: “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu patinoshandisa zita renyu.”+ 18 Iye akabva ati kwavari: “Ndiri kuona Satani atodonha+ achibva kudenga semheni. 19 Onai! Ndakupai simba rekutsika-tsika nyoka nemarize,* uye rekukunda simba rese remuvengi,+ uye hapana kana chichakukuvadzai. 20 Kunyange zvakadaro, musafara pamusoro pekuti mweya inozviisa pasi penyu, asi farai nekuti mazita enyu anyorwa kudenga.”+ 21 Panguva iyoyo mweya mutsvene wakabva waita kuti atange kufara, akati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nekuti makavanza zvinhu izvi kuti zvisatombozivikanwa nevakachenjera nevakadzidza,+ mukazvizarurira vana vadiki. Hongu, Baba, nekuti izvi ndizvo zvakakufadzai.+ 22 “Zvinhu zvese zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu, uye hapana anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hapana anoziva kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana+ nemunhu wese uyo Mwanakomana anenge achida kuratidza zvavakaita.”+

23 Akabva atendeukira kuvadzidzi akavaudza vari vega kuti: “Anofara maziso anoona zvamuri kuona.+ 24 Nekuti ndinoti kwamuri, vaprofita vazhinji nemadzimambo vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona,+ uye kunzwa zvinhu zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.”

25 Mumwe murume ainyatsoziva Mutemo akabva asimuka, kuti amuedze, akati: “Mudzidzisi, ndinofanira kuitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?”+ 26 Iye akati kwaari: “MuMutemo makanyorwei? Unoverenga sei?” 27 Iye akapindura achiti: “‘Ida Jehovha* Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese nesimba rako rese nepfungwa dzako dzese’+ uye ‘muvakidzani wako sezvaunozviita.’”+ 28 Akati kwaari: “Wapindura zvakanaka; ramba uchiita izvozvo uye uchawana upenyu.”+

29 Asi achida kuzviita akarurama,+ murume wacho akati kuna Jesu: “Muvakidzani wangu anombova ani?” 30 Jesu akapindura achiti: “Mumwe murume akanga achibva kuJerusarema achidzika kuJeriko ndokusangana nemakororo, akamutorera zvipfeko zvake nezvinhu zvake, akamurova, akamusiya ava kuda kufa. 31 Zvakangoitikawo kuti mumwe mupristi aidzika nemugwagwa iwoyo, asi paakamuona, akamunyenyeredza. 32 Mumwe muRevhi akapfuurawo nepo, akamuona akamunyenyeredza. 33 Asi mumwe muSamariya+ aifamba nemugwagwa wacho akasvika paaiva uye akasiririswa paakamuona. 34 Saka akaenda paaiva, akadira maronda ake mafuta newaini ndokuasunga. Akabva amukwidza pachipfuwo chake, akaenda naye kuimba yevanenge vari parwendo, akatanga kumupepa. 35 Mangwana acho, akatora madhinari* maviri, akaapa muchengeti weimba yevanenge vari parwendo, akati: ‘Sara uchimuchengeta, uye kana ukashandisa imwe mari pamusoro peyandakupa ndinokubhadhara pandinodzoka.’ 36 Pavatatu ava, unofunga kuti ndeupi akaratidza kuti aiva muvakidzani+ wemurume akarwiswa nemakororo?” 37 Iye akati: “Uya akamunzwira tsitsi.”+ Jesu akabva ati kwaari: “Enda unoita izvozvo.”+

38 Pavakanga vava kuenda, akapinda mune mumwe musha. Uye mumwe mukadzi ainzi Marita+ akamugamuchira mumba make. 39 Mukadzi uyu aiva nemunin’ina ainzi Mariya, uyo akagara pasi pedyo netsoka dzaShe achiteerera zvaaitaura.* 40 Asi Marita akatsauswa nemabasa akawanda. Saka akaswedera pedyo naye, akati: “Ishe, hamusi kuonawo here kuti Mariya haasi kundibatsira kuita basa? Muudzei auye kuzondibatsira.” 41 Ishe akamupindura achiti: “Marita, Marita, unozvidya mwoyo uye unozvinetsa nezvinhu zvakawanda. 42 Asi panongodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete. Kana ari Mariya, asarudza mugove wakanaka,+ uye haazoutorerwi.”

11 Mumwe musi aiva pane imwe nzvimbo achinyengetera, uye paakapedza, mumwe wevadzidzi vake akati kwaari: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, sezvo Johani akadzidzisawo vadzidzi vake.”

2 Saka akati kwavari: “Pese pamunonyengetera, itii: ‘Baba, zita renyu ngaritsveneswe.*+ Umambo hwenyu ngahuuye.+ 3 Tipeiwo zvekudya zvezuva rimwe nerimwe maererano nezvatinenge tichida zuva iroro.+ 4 Tiregerereiwo zvivi zvedu,+ nekuti isu tinoregererawo munhu wese anotitadzira;*+ uye musatipinza mumuedzo.’”+

5 Akabva ati kwavari: “Ngatitii mumwe wenyu ane shamwari yake uye anoenda kwairi pakati peusiku oti, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu, 6 nekuti ndashanyirwawo neimwe shamwari yangu iri parwendo uye handina chekuipa.’ 7 Asi uya ari mukati anopindura achiti: ‘Usandinetsa. Tatokiya suo, uye ini nevana vangu tatorara. Hazvichaiti kuti ndimuke ndikupe zvauri kuda.’ 8 Ndinokuudzai kuti, kunyange akarega kumuka kuti amupe zvaari kuda sezvo ari shamwari yake, anozopedzisira amuka omupa zvese zvaari kuda nekuti anenge aramba achimuteterera.+ 9 Saka ndinoti kwamuri, rambai muchikumbira,+ uye muchapiwa; rambai muchitsvaga, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.+ 10 Nekuti munhu wese anokumbira anopiwa,+ munhu wese anotsvaga anowana, uye munhu wese anogogodza achazarurirwa. 11 Chokwadi ndibaba vapi pakati penyu vangati kana mwanakomana wavo akakumbira hove vomupa nyoka panzvimbo pehove?+ 12 Kana kuti akakumbirawo zai, vangamupa rize* here? 13 Saka kana imi, kunyange zvazvo makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, ko kuzoti Baba venyu vari kudenga, vangatadza here kupa mweya mutsvene kune vaya vanovakumbira?”+

14 Pava paya, akadzinga dhimoni raitadzisa munhu kutaura.+ Pakabuda dhimoni racho, murume uya akatanga kutaura, uye vanhu vakashamiswa.+ 15 Asi vamwe vavo vakati: “Anodzinga madhimoni achishandisa Bherizebhubhu,* mutongi wemadhimoni.”+ 16 Uye vamwe, vachida kumuedza, vakatanga kumuti avaratidze chiratidzo+ chinobva kudenga. 17 Achiziva zvavaifunga,+ akati kwavari: “Umambo hwese hwakapesana hunoparara, uye imba yakapesana inoparara. 18 Zvino kana Satani ava kuzvirwisa pachake, umambo hwake hucharamba sei hwakamira? Nekuti munoti ndinodzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu. 19 Kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu, vanakomana venyu vanoadzinga vachishandisa ani? Ndokusaka vachizova vatongi venyu. 20 Asi kana ndichidzinga madhimoni nemunwe waMwari,+ chokwadi Umambo hwaMwari hwakusvikirai.+ 21 Kana murume akasimba, ane zvombo zvakakwana akachengetedza muzinda wake, hapana anotora zvinhu zvake. 22 Asi kana akavingwa nemumwe munhu akasimba kumupfuura omukurira, munhu iyeye anomutorera zvombo zvake zvese zvaanga achivimba nazvo, ogovanisa vanhu zvinhu zvaanenge amutorera. 23 Munhu wese asiri kudivi rangu anorwisana neni, uye wese asingaunganidzi neni anoparadzira.+

24 “Mweya usina kuchena paunobuda mumunhu, unopfuura nemunzvimbo dzisina mvura uchitsvaga pekuzororera, uye kana washaya unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva.’+ 25 Uye uchisvika, unowana imba yacho yakanyatsotsvairwa uye yakashongedzwa. 26 Unobva waenda wonotora mimwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, uye kana yapinda mukati, inogara imomo. Saka munhu iyeye anopedzisira aipa kupfuura zvaaiva pakutanga.”

27 Paaitaura mashoko aya, mumwe mukadzi aiva pakati pevanhu vakawanda vaivepo akashevedzera kwaari achiti: “Rinofara dumbu rakakutakurai nemazamu amakayamwa!”+ 28 Asi iye akati: “Aiwa, vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!”+

29 Vanhu pavaiungana, iye akatanga kuti: “Chizvarwa chino chizvarwa chakaipa; chinotsvaga chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona.+ 30 Nekuti sezvakaita Jona,+ kuti akava chiratidzo kuvaNinivhi, Mwanakomana wemunhu achavawo chiratidzo kuchizvarwa chino. 31 Mambokadzi wekumaodzanyemba+ achamutswa pakutongwa pamwe chete nevanhu vechizvarwa chino uye acharatidza kuti vane mhosva, nekuti akabva pasi kwenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni. Asi onai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.+ 32 Vanhu vekuNinivhi vachamuka pakutongwa nechizvarwa chino uye vachachipa mhosva, nekuti vakapfidza zvivi zvavo pavakaparidzirwa naJona.+ Asi onai! mumwe munhu anopfuura Jona ari pano. 33 Munhu akabatidza rambi, haariisi parisingaoneki kana kuti pasi petswanda,* asi anoriisa pachigadziko cherambi,+ kuti vaya vanopinda vavhenekerwe. 34 Rambi remuviri iziso rako. Kana ziso rako rakatarisa chinhu chimwe chete,* muviri wako wese wakajekawo;* asi kana riine ruchiva,* muviri wako uchavawo murima.+ 35 Saka ivai nechokwadi kuti chiedza chiri mamuri hachisi rima. 36 Saka kana muviri wako wese wakajeka pasina kana pamwe pane rima, wese uchava wakajeka sezvinoita rambi parinokuvhenekera.”

37 Paakanga ataura izvi, mumwe muFarisi akamukumbira kuzodya naye. Saka akapinda, akagara patafura. 38 Asi muFarisi wacho akashamiswa paakaona kuti haana kutanga ageza* asati adya.+ 39 Asi Ishe akati kwaari: “Imi vaFarisi munochenesa kunze kwekapu nendiro, asi mukati menyu makazara makaro neuipi.+ 40 Mapenzi! Akaita kunze haasi iye akaitawo mukati here? 41 Asi ipai zvipo zvengoni* zvichibva pane zviri mukati menyu, uye zvimwe zvese zviri pamuri zvichabva zvava zvakachena. 42 Asi mune nhamo imi vaFarisi, nekuti munopa chegumi chemindi neruyi nemimwe miriwo yese,+ asi hamuna basa nekutonga nyaya zvakarurama uye kuda Mwari! Zvinhu izvi maifanira kuzviita, asi kwete muchizorega kuita zvimwe zvacho.+ 43 Mune nhamo imi vaFarisi, nekuti munoda zvigaro zvepamberi* mumasinagogi uye kukwaziswa mumisika!+ 44 Mune nhamo, nekuti makafanana nemakuva* asiri kunyatsooneka,*+ zvekuti vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazvizivi!”

45 Mumwe wevaya vainyatsoziva Mutemo akamupindura achiti: “Mudzidzisi, pamuri kutaura mashoko aya muri kutotitukawo.” 46 Iye akabva ati: “Nemiwo vanonyatsoziva Mutemo, mune nhamo nekuti munotakudza vanhu mitoro yakaoma kutakura, asi imi pachenyu hamutomboigunzvi nemunwe wenyu!+

47 “Mune nhamo imi, nekuti munovaka makuva evaprofita, asi madzitateguru enyu ndiwo akavauraya!+ 48 Chokwadi muri zvapupu zvemabasa emadzitateguru enyu asi munobvumirana navo, nekuti vakauraya vaprofita+ asi imi muri kuvaka makuva avo. 49 Ndokusaka uchenjeri hwaMwari hwakatiwo: ‘Ndichavatumira vaprofita nevaapostora, uye vachauraya uye vachatambudza vamwe vavo, 50 kuti chizvarwa chino chitongerwe ropa* revaprofita vese rakadeurwa kubva pakuvambwa kwenyika,+ 51 kubvira paropa raAbheri+ kusvikira kuropa raZekariya, akaurayirwa pakati peatari nemba.’*+ Ndinokuudzai chokwadi kuti richabvunzwa pachizvarwa chino.

52 “Mune nhamo imi munonyatsoziva Mutemo, nekuti makabvisa kiyi yeruzivo. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye munotadzisa vaya vanenge vachida kupinda!”+

53 Saka paakabuda ipapo vanyori nevaFarisi vakatanga kumudenha vachimubvunza mimwe mibvunzo yakawanda, 54 vachimuhwandira, kuti vamubate pane zvaanenge ataura.+

12 Paiitika izvi, zviuru zvevanhu zvakanga zvaungana zvekuti vakanga vachitsikirirana, uye akatanga nekutaura kuvadzidzi vake achiti: “Chenjererai mbiriso yevaFarisi, kureva unyengeri.+ 2 Asi hapana chinhu chakavigwa zvekuti hachizobudiswi pachena, uye hapana chinhu chakavanzwa chisingazozivikanwi.+ 3 Saka zvese zvamunotaura murima zvichanzwika muchiedza, uye zvamunozevezera mudzimba dzenyu zvichaparidzwa pamusoro pedzimba. 4 Zvakare ndinoti kwamuri imi shamwari dzangu,+ musatya vaya vanouraya muviri asi vasina zvimwe zvavanozokwanisa kuita.+ 5 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo anoti kana auraya, ane simba rekukanda muGehena.*+ Chokwadi ndinokuudzai, ityai iyeye.+ 6 Tushiri tushanu tunotengeswa netumari tuviri tusinganyanyi kukosha,* handizvo here? Asi Mwari haakanganwi kana imwe yadzo.+ 7 Asi kunyange bvudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese.+ Musatya; munokosha kupfuura tushiri twakawanda.+

8 “Ndinoti kwamuri, munhu wese anobvuma kuti anondiziva pamberi pevanhu,+ Mwanakomana wemunhu achabvumawo kuti anomuziva pamberi pengirozi dzaMwari.+ 9 Asi munhu wese anondiramba pamberi pevanhu acharambwawo pamberi pengirozi dzaMwari.+ 10 Uye munhu wese anotaura zvakaipa nezveMwanakomana wemunhu, achakanganwirwa, asi munhu wese anomhura mweya mutsvene haazokanganwirwi.+ 11 Pavanokuendesai pamberi pevanhu vakaungana,* nepamberi pevakuru vakuru vehurumende, nepamberi pevanhu vane masimba, musazvidya mwoyo nezvematauriro amuchaita kana kuti nezvezvamuchataura panyaya dzamunenge muchipomerwa kana kuti nezvemashoko acho amuchataura,+ 12 nekuti mweya mutsvene uchakudzidzisai zvekutaura panguva iyoyo chaiyo.”+

13 Mumwe munhu aiva pakati pevanhu vakawanda vaivepo akabva ati kwaari: “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu agovane neni nhaka.” 14 Iye akati kwaari: “Nhai iwe, ndakagadzwa naani kuti ndikutonganisei kana kuti ndikugovanisei zvinhu zvenyu?” 15 Akabva ati kwavari: “Rambai makasvinura, muchenjerere marudzi ese emakaro,*+ nekuti kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”+ 16 Akabva avaudza mufananidzo, achiti: “Munda wemumwe mupfumi wakabereka zvakanaka. 17 Saka akatanga kuti nechemumwoyo, ‘Ndoita sei zvandisina pekuisira zvirimwa zvangu?’ 18 Saka akati, ‘Ndichadai:+ Ndichaputsa matura angu, ndovaka makuru, uye ndimo mandichaisa zvese zvandichakohwa nezvimwe zvinhu zvangu zvese, 19 ndobva ndati:* “Une* zvinhu zvakanaka zvakawanda zvawakachengeta zvinokwana makore akawanda; zorora zvako, udye, unwe, ufare.”’ 20 Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda upenyu hwako.* Saka zvinhu zvawakachengeta zvichava zvaani?’+ 21 Ndizvo zvinoitika kumunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”+

22 Akabva ati kuvadzidzi vake: “Ndokusaka ndichiti kwamuri, regai kuzvidya mwoyo pamusoro peupenyu hwenyu* kuti muchadyei kana kuti pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.+ 23 Nekuti upenyu hunokosha* kupfuura zvekudya uye muviri unokosha kupfuura zvipfeko. 24 Fungai nezvemakunguo: Haadyari mbeu kana kukohwa; haana matura kana tsapi;* asi Mwari anoapa zvekudya.+ Ko imi hamukoshi kupfuura shiri here?+ 25 Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti* paurefu hweupenyu hwake nekuzvidya mwoyo? 26 Saka kana musingagoni kuita chinhu chidikidiki chakadai, munozvidyirei mwoyo pamusoro pezvimwe zvese?+ 27 Fungai nezvekukura kunoita maruva: Haashandi kana kuruka; asi ndinokuudzai kuti kunyange Soromoni mukubwinya kwake kwese haana kumboshonga serimwe reaya.+ 28 Zvino, kana aya ari iwo mapfekedzero anoita Mwari zvinhu zvinomera musango, zviripo nhasi, mangwana zvokandwa muchoto, angatadza here kutokupfekedzai kupfuura ipapo, imi vane kutenda kudiki? 29 Saka regai kutsvaga zvekudya nezvekunwa, uye regai kuramba muchizvidya mwoyo;+ 30 nekuti mamwe marudzi ari kutsvagisisa zvinhu zvese izvi, asi Baba venyu vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.+ 31 Asi rambai muchitsvaga Umambo hwavo, uye zvinhu izvi zvichawedzerwa kwamuri.+

32 “Musatya, imi boka diki,+ nekuti Baba venyu vanofara kukupai Umambo.+ 33 Tengesai zvinhu zvenyu mupe zvipo zvengoni.*+ Gadzirai zvikwama zvisingasakari, pfuma isingamboperi kudenga,+ kusina mbavha dzinoswedera pedyo uye kusina chitemamachira* chinodya. 34 Nekuti pane pfuma yenyu, ndipo pachavawo nemwoyo yenyu.

35 “Kwinyai nguo dzenyu*+ uye batidzai marambi enyu,+ 36 uye munofanira kuita sevarume vakamirira kudzoka kwatenzi wavo+ achibva kumuchato,+ kuti paanongosvika achigogodza, vanobva vamuvhurira. 37 Vanofara varanda vaya vanoti kana tenzi achisvika anovawana vakarinda! Chokwadi ndinoti kwamuri, achakwinya nguo dzake* kuti aite basa uye achaita kuti vagare patafura oenda pedyo navo, ovashumira. 38 Uye kana akasvika pakurinda kwechipiri,* kunyange kwechitatu,* akavawana vakagadzirira, ivo vanofara! 39 Asi zivai izvi, kuti kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya nguvai, angadai asina kurega imba yake ichipazwa.+ 40 Nemiwo, rambai makagadzirira, nekuti Mwanakomana wemunhu ari kuuya panguva yamusingafungiri.”+

41 Petro akabva ati: “Ishe, muri kungotaura mufananidzo uyu kwatiri chete here kana kuti kumunhu wese?” 42 Ishe akati: “Chokwadi ndiani mutariri akatendeka,* akangwara, achagadzwa natenzi wake paboka revashandi vake* kuti arambe achivapa mugove wavo wezvekudya panguva yakakodzera?+ 43 Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita izvozvo paanouya! 44 Chokwadi ndinokuudzai kuti achamugadza pazvinhu zvake zvese. 45 Asi kana zvikaitika kuti muranda iyeye anoti nechemumwoyo, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ otanga kurova vashandirume nevashandikadzi, achidya nekunwa nekudhakwa,+ 46 tenzi wemuranda iyeye achauya pazuva raasingafungiri uye panguva yaasingazivi, uye achamuranga zvakaomarara, omupa mugove pamwe chete nevasina kutendeka. 47 Saka muranda iyeye achabva arohwa shamhu dzakawanda nekuti ainzwisisa zvaidiwa natenzi wake asi haana kugadzirira kana kuita zvaakanzi aite.*+ 48 Asi uya asina kunzwisisa, ndokuita zvinhu zvinorovesa, acharohwa zvishoma. Chokwadi, munhu wese akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichadiwa kwaari, uye uya ane zvizhinji zvakaiswa mumaoko ake, kwaari kunotarisirwawo zvakatowanda kudarika zvaakapiwa.+

49 “Ndakauya kuzobatidza moto panyika, uye chii chimwe chandingada kana watobaka? 50 Chokwadi, ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, uye ndiri kutambudzika chaizvo kusvikira rwapfuura!+ 51 Munofunga kuti ndakauya kuzoita kuti panyika pave nerugare here? Ndinoti kwamuri kwete, asi ndakauya kuzopesanisa.+ 52 Nekuti kubvira zvino muimba imwe chete muchava nevanhu vashanu vakapesana, vatatu vachipesana nevaviri uye vaviri vachipesana nevatatu. 53 Vachapesana, baba nemwanakomana uye mwanakomana nababa, amai nemwanasikana uye mwanasikana naamai, vamwene nemuroora uye muroora navamwene.”+

54 Akabva atiwo kuvanhu vakawanda vaivapo: “Pamunoona gore richisimuka kumavirira, munobva mati, ‘Kuchava nedutu,’ zvobva zvaitika. 55 Uye pamunoona kuti mhepo yekumaodzanyemba iri kuvhuvhuta, munoti, ‘Kuchapisa chaizvo,’ uye zvinoitika. 56 Vanyengeri, munoziva kuongorora zvinenge zvakaita nyika uye mudenga, asi sei musingagoni kuongorora zviri kuitika iye zvino?+ 57 Sei musingaoniwo mega kuti zvakarurama ndezvipi? 58 Semuenzaniso, paunenge uchienda kumutongi nemunhu akakumhan’arira, edza kutaurirana naye, kuti arege kukuendesa pamberi pemutongi, mutongi okuisa kumupurisa wedare, mupurisa wedare akakukanda mujeri.+ 59 Ndinokuudza kuti haufi wakabuda imomo kusvikira waripa mari yako diki yekupedzisira.”*

13 Panguva iyoyo vamwe vanhu vakanga varipo vakamuudza nezvevaGarireya vakanga vaurayiwa naPirato ropa ravo rikasangana nezvibayiro zvavo. 2 Iye akavapindura achiti: “Munofunga kuti vaGarireya ivavo vaiva vatadzi kupfuura vamwe vaGarireya vese nekuti vakasangana nedambudziko iri here? 3 Ndinoti kwamuri kwete; asi kana mukasapfidza zvivi zvenyu, imi mese muchaparadzwa sezvavakaitwa.+ 4 Kana kuti vanhu vaya 18 vakawirwa neshongwe yeSiroami, ikavauraya, munofunga kuti vaiva nemhosva yakakura kupfuura vamwe vanhu vese vanogara muJerusarema here? 5 Ndinoti kwamuri kwete; asi kana mukasapfidza zvivi zvenyu, mese muchaparadzwa sezvavakaitwa.”

6 Akabva ataura mufananidzo uyu: “Mumunda wemizambiringa wemumwe murume maiva nemuonde wakadyarwa, uye murume wacho akauya achitsvaga maonde pauri, akaashaya.+ 7 Akabva ati kumushandi wemumunda wacho, ‘Ava makore matatu ndichiuya ndichitsvaga maonde pamuti uyu, ndichingoshaya. Uteme! Tingausiyirei uchititambisira ivhu?’ 8 Iye akamupindura achiti, ‘Tenzi, chimbousiyai kwerimwe gore, ndimboutimbira nekuuisa mupfudze. 9 Kana ukazobereka, ndizvozvo, zvakanaka; asi kana ukasabereka, moutema zvenyu.’”+

10 Pane rimwe Sabata aidzidzisa ari mune rimwe sinagogi. 11 Uye kwaiva nemumwe mukadzi akanga ava nemakore 18 aine mweya waiita kuti ashaye simba; uye aifamba akakotama zvakanyanya, asingatombogoni kumira akatwasuka. 12 Jesu paakamuona, akataura naye achiti: “Amai, masunungurwa pakushayiwa kwenyu simba.”+ 13 Uye akaisa maoko ake paari, uye pakarepo akabva atwasuka akatanga kukudza Mwari. 14 Asi mukuru aitungamirira sinagogi, akagumbuka nekuti Jesu akanga arapa paSabata, ndokutaura kuvanhu achiti: “Pane mazuva matanhatu anofanira kuitwa basa;+ saka munofanira kuuya muchirapwa pamazuva iwayo kwete pazuva reSabata.”+ 15 Asi Ishe akamupindura achiti: “Vanyengeri,+ ko imimi hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu mudanga paSabata moenda kunozvinwisa mvura?+ 16 Ko mukadzi uyu, anotova mwanasikana waAbrahamu, uyo anga akasungwa naSatani kwemakore 18, anga asingafaniri here kusunungurwa muusungwa uhwu pazuva reSabata?” 17 Paakataura izvi, vese vaimupikisa vakatanga kunyara, asi vanhu vese vakatanga kufara pamusoro pezvinhu zvinoshamisa zvaakaita.+

18 Saka akaenderera mberi achiti: “Umambo hwaMwari hwakafanana nei, uye ndingahuenzanisa nechii? 19 Hwakafanana netsanga yemasitadhi yakatorwa nemumwe murume akaidyara mumunda make, uye yakakura, ikava muti, shiri dzekudenga dzikavaka matendere pamapazi awo.”+

20 Uye akatizve: “Umambo hwaMwari ndingahuenzanisa nei? 21 Hwakafanana nembiriso yakatorwa nemumwe mukadzi, akaisanganisa nezviyero zvikuru zvitatu* zvefurawa kusvikira mukanyiwa wese wavira.”+

22 Uye akafamba achitevedza guta rimwe nerimwe uye musha mumwe nemumwe, achidzidzisa, achienderera mberi nerwendo rwake rwekuJerusarema. 23 Mumwe murume akati kwaari: “Nhai Ishe, panongova nevashoma vachaponeswa here?” Iye akati kwavari: 24 “Rwisai kuti mupinde nesuo rakamanikana,+ nekuti ndinokuudzai kuti vazhinji vachatsvaga kupinda asi vachatadza. 25 Muridzi wemba paachasimuka okiya suo, muchamira kunze muchigogodza, muchiti, ‘Ishe tivhurireiwo.’+ Asi iye achakupindurai achiti: ‘Handizivi kwamunobva.’ 26 Imi muchabva matanga kuti, ‘Taidya tichinwa pamberi penyu, uye maidzidzisa mumigwagwa yedu mikuru.’+ 27 Asi iye achati kwamuri, ‘Handizivi kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mese munoita zvisina kururama!’ 28 Ndipo pamuchachema muri muchirumanisa mazino, pamuchaona Abrahamu, Isaka, Jakobho, nevaprofita vese vari muUmambo hwaMwari, asi imi makandwa kunze.+ 29 Uyezve vanhu vachabva kumabvazuva nekumavirira, uye kuchamhembe nekumaodzanyemba, vogara patafura muUmambo hwaMwari. 30 Uye pane vaya vekupedzisira vachava vekutanga, nevaya vekutanga vachava vekupedzisira.”+

31 Vamwe vaFarisi vakabva vasvika panguva iyoyo chaiyo vakati kwaari: “Buda muno uende, nekuti Herodhi ari kuda kukuuraya.” 32 Iye akati kwavari: “Endai munoudza gava iroro kuti, ‘Ona! Ndichange ndichidzinga madhimoni nekurapa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva rechitatu ndinenge ndapedza.’ 33 Asi ndinofanira kuramba ndichienda nhasi, namangwana, nekuswera mangwana, nekuti hazviiti kuti muprofita aurayirwe kunze kweJerusarema.+ 34 Jerusarema, Jerusarema, mhondi inouraya vaprofita uye inotema nematombo vaya vakatumwa kwairi!+ Ndaida sei kuunganidza vana vako, sekuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi iwe wakanga usingadi.+ 35 Ona! Waramwirwa imba yako.+ Ndinoti kwauri, kubvira zvino hauchazombondioni kusvikira wati: ‘Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha!’”*+

14 Mumwe musi akaenda kunodyira kumba kwemumwe mutungamiriri wevaFarisi paSabata, uye vaiongorora zvese zvaaiita. 2 Uye pamberi pake paiva nemumwe murume aiva nechirwere chekuzvimba muviri. 3 Saka Jesu akabvunza vaya vainyatsoziva Mutemo nevaFarisi kuti: “Zvinobvumirwa nemutemo here kurapa paSabata kana kuti hazvibvumirwi?”+ 4 Asi vakaramba vakanyarara. Akabva abata murume wacho, akamuporesa, akamuti aende. 5 Akati kwavari: “Ndiani wenyu angati kana mwanakomana wake kana kuti mombe yake ikawira mutsime+ paSabata orega kuibudisa pakare ipapo?”+ 6 Havana kukwanisa kumupindura mashoko aya.

7 Akabva ataurira vanhu vakanga vakokwa mufananidzo paakacherechedza kuzvisarudzira kwavaiita nzvimbo dzevanoremekedzwa.+ Akati kwavari: 8 “Kana wakokwa nemumwe munhu kumabiko emuchato, usagara panzvimbo yevanoremekedzwa.+ Pamwe mumwe munhu anokudzwa kukupfuura angava akakokwawo. 9 Uya akakukokai mese achabva auya oti kwauri, ‘Rega uyu agare pawakagara.’ Iwe uchabva waenda kunogara panzvimbo yakadereresa uchinyara. 10 Asi kana wakokwa, enda unogara panzvimbo yakadereresa, kuti kana munhu akakukoka auya, azoti kwauri, ‘Shamwari, enda apo pakakwirira.’ Uchabva wakudzwa pamberi pevamwe vaenzi vese.+ 11 Nekuti munhu wese anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wese anozvininipisa achakwidziridzwa.”+

12 Akatiwo kumunhu akamukoka: “Paunogadzira kudya kwemasikati kana kwemanheru, usashevedza shamwari dzako kana vanin’ina vako kana hama dzako kana vavakidzani vako vakapfuma. Ukadaro vanogona kuzokukokawo, saka unenge wabhadharwa zvawakavaitira. 13 Asi kana waita mabiko, koka varombo, mhetamakumbo, vanokamhina, mapofu;+ 14 uye uchafara, nekuti havana chekukubhadhara nacho. Nekuti uchabhadharwa pachamutswa+ vakarurama.”

15 Paakanzwa mashoko aya, mumwe wevakanga vakokwa akati kwaari: “Anofara anodya zvekudya muUmambo hwaMwari.”

16 Jesu akati kwaari: “Mumwe murume akanga achigadzirira kudya kwemanheru kukuru,+ uye akakoka vazhinji. 17 Akatuma muranda wake panguva yekudya kwemanheru kunoudza vanhu vakakokwa kuti, ‘Chiuyai, nekuti zvekudya zvese zvagadzirwa.’ 18 Asi vese vakatanga kupa tuzvikonzero.+ Wekutanga akati kwaari, ‘Ndakatenga munda saka ndinoda kuenda kunouona; ndine urombo, ndakundikana.’ 19 Uye mumwe akati, ‘Ndakatenga mombe gumi dzekubopa* saka ndiri kuenda kunodziedza; ndine urombo, ndakundikana.’+ 20 Mumwezve akati, ‘Ndichangobva kuroora, saka handigoni kuuya.’ 21 Saka muranda wacho akaenda akanoudza tenzi wake nezvazvo. Tenzi wemba akashatirwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda mumigwagwa mikuru nemidiki yemuguta, unouya nevarombo nemhetamakumbo nemapofu nevanokamhina.’ 22 Paakadzoka, muranda wacho akati, ‘Tenzi, zvamati zviitwe zvaitwa, asi muchiine nzvimbo.’ 23 Saka tenzi wacho akati kumuranda, ‘Buda upinde mumigwagwa nemutunzira unoita kuti vauye kuno, kuti imba yangu izare.+ 24 Nekuti ndinoti kwamuri, pavanhu vaya vainge vakokwa hapana kana mumwe wavo acharavira kudya kwangu kwemanheru.’”+

25 Vanhu vakawanda vakanga vachifamba naye, uye akatendeuka akati kwavari: 26 “Kana munhu akauya kwandiri, iye asingavengi baba vake naamai nemudzimai nevana nevanin’ina nehanzvadzi, uye kunyange upenyu hwake* pachake,+ haagoni kuva mudzidzi wangu.+ 27 Munhu wese asingatakuri danda rake rekutambudzirwa* onditevera haagoni kuva mudzidzi wangu.+ 28 Semuenzaniso, ndiani wenyu asingatangi agara pasi kana achida kuvaka shongwe, kuti averenge zvaachashandisa, kuti aone kana aine zvinokwana kuzoipedza? 29 Kana akasadaro, anogona kuvaka faundesheni ozotadza kuipedza, vese vanoona votanga kumuseka, 30 vachiti: ‘Murume uyu akatanga kuvaka asi akatadza kupedza.’ 31 Kana kuti ndimambo upi anoti kana achienda kunorwa nemumwe mambo, asingatangi agara pasi onzwawo pfungwa dzevamwe kuti aone kana achikwanisa kumirisana nemauto 20 000 iye aine mauto 10 000? 32 Kana akaona kuti haazvikwanisi, paanenge achiri kure, anobva atumira vamiririri kuti vanokumbira kuti vave nerunyararo. 33 Saka nemiwo zivai kuti hapana mumwe wenyu anogona kuva mudzidzi wangu kana akasaonekana nezvinhu* zvake zvese.+

34 “Kutaura chokwadi, munyu wakanaka. Asi kana munyu usisavaviri, ucharungwa nei?+ 35 Hauna kukodzera kushandiswa sevhu kana kuti semupfudze. Vanhu vanourasa. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.”+

15 Vateresi vese nevatadzi vaimuunganira kuti vanzwe zvaaitaura.+ 2 Uye vaFarisi nevanyori vaigunun’una, vachiti: “Munhu uyu anogamuchira vatadzi uye anodya navo.” 3 Akabva avataurira mufananidzo uyu, achiti: 4 “Ndiani wenyu anoti kana aine makwai 100, obva ashaya rimwe chete, asingasiyi 99 acho musango, oenda kunotsvaga rarasika racho kusvikira ariwana?+ 5 Uye kana ariwana, anoriisa pamapfudzi ake, ofara. 6 Uye paanosvika kumba anoshevedza shamwari dzake nevavakidzani vake achiti, ‘Farai pamwe chete neni, nekuti ndawana gwai rangu ranga rarasika.’+ 7 Ndinokuudzai kuti kuchavawo nemufaro mukuru kudenga pamusoro pemutadzi mumwe chete anopfidza zvivi zvake,+ kupfuura kufarirwa kunoitwa vanhu 99 vakarurama vasina zvivi zvavari kufanira kupfidza.

8 “Kana kuti ndeupi mukadzi ane madrakema* 10, angati kana arasa drakema* rimwe chete, orega kubatidza rambi kuti atsvaire imba yake achinyatsoritsvaga kusvikira ariwana? 9 Uye kana ariwana, anoshevedza shamwari dzake nevavakidzani achiti, ‘Farai pamwe chete neni, nekuti ndawana drakema* rangu randanga ndarasa.’ 10 Ndinokuudzaiwo kuti ngirozi dzaMwari dzinofara chaizvo kana mutadzi mumwe chete akapfidza zvivi zvake.”+

11 Akabva ati: “Mumwe murume akanga aine vanakomana vaviri. 12 Mudiki wacho akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka wanga uchizova wangu.’ Saka akavagovanisa zvinhu zvake. 13 Pashure pemazuva mashoma, mwanakomana wacho mudiki akaunganidza zvinhu zvake zvese, akaenda kunyika iri kure, uye akanoparadza pfuma yake achirarama upenyu hwakaipa. 14 Paakanga asisina chinhu, munyika yacho yese makaitika nzara huru, iye akatanga kutambura. 15 Akatoenda, akanozviisa kune mumwe wevagari vemunyika yacho, uyo akamutuma kumafuro ake kunofudza nguruve.+ 16 Uye aitoshuva kudya zvekudya zvaidyiwa* nenguruve, asi hapana kana munhu aimupa chekudya.

17 “Paakazopengenuka, akati, ‘Baba vangu vane vanhu vangani vanovashandira vane zvekudya zvakawandisa, ini kuno ndichifa nenzara? 18 Ndichasimuka ndodzokera kuna baba vangu ndonoti kwavari: “Baba, ndakatadzira denga uye imi. 19 Handisisina kukodzera kunzi mwanakomana wenyu. Ndibatei henyu semumwe wevashandi venyu.”’ 20 Saka akasimuka, akaenda kuna baba vake. Achiri kure, baba vake vakamuona vakasiririswa, ndokumhanya vakamumbundira, vakamutsvoda zvinyoronyoro. 21 Mwanakomana wacho akabva ati kwavari, ‘Baba, ndakatadzira denga uye imi.+ Handisisina kukodzera kunzi mwanakomana wenyu.’ 22 Asi baba vacho vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! uyai nenguo yakanakisisa mumupfekedze; momupfekedza rin’i muruoko rwake uye shangu mutsoka dzake. 23 Uyaiwo nemombe yakakora muiuraye, tidye tichipembera, 24 nekuti mwanakomana wangu uyu akanga afa asi avazve mupenyu;+ akanga arasika, uye awanikwa.’ Uye vakatanga kufara.

25 “Mwanakomana wake mukuru akanga ari kumunda, uye paakanga ava kusvika pamba achidzoka, akanzwa mimhanzi nevanhu vaitamba. 26 Saka akashevedza mumwe wevashandi, akamubvunza zvaiitika. 27 Akati kwaari, ‘Munin’ina wenyu auya, uye baba venyu vauraya mombe yakakora, nekuti vamuwana ari mupenyu.’ 28 Asi akashatirwa akaramba kupinda. Baba vake vakabva vabuda, vakatanga kumunyengetedza. 29 Akapindura baba vake achiti, ‘Inzwai! Makore ese aya ndanga ndichikushandirai uye hapana pandisina kumborega kuteerera mirayiro yenyu, asi hamuna pamakambondipawo kana mbudzana chaiyo kuti ndifarewo neshamwari dzangu. 30 Asi pangosvika mwana wenyu uyu akaparadza zvinhu zvenyu nepfambi, mabva mamuurayira mombe yakakora.’ 31 Vakabva vati kwaari, ‘Mwanangu, iwe unogara neni pano mazuva ese, uye zvinhu zvangu zvese ndezvako. 32 Asi tanga tichifanira kupembera nekufara, nekuti munin’ina wako akanga afa asi ava mupenyu; akanga arasika, uye awanikwa.’”

16 Akabva atiwo kuvadzidzi vake: “Mumwe mupfumi aiva nemutariri* aipomerwa kuti aipambadza zvinhu zvake. 2 Saka akamushevedza, akati kwaari, ‘Ko ndezvipi izvi zvandiri kunzwa kuti uri kuita? Ndipe kuno zvawakanyora zvinoratidza mafambisiro awanga uchiita basa rako reutariri, nekuti handichadi kuti urambe uri mutariri wemba yangu.’ 3 Mutariri wacho akabva ati nechemumwoyo, ‘Ndoita sei tenzi wangu zvaava kundibvisa pautariri hwangu? Handina simba rekurima, uye ndinonyara kupemha. 4 Yaa! ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabviswa pautariri vanhu vandigamuchire mudzimba dzavo.’ 5 Akabva atanga kushevedza munhu mumwe nemumwe aiva nechikwereti natenzi wake, akati kune wekutanga, ‘Une chikwereti chakakura sei natenzi wangu?’ 6 Akapindura kuti, ‘Zviyero 100 zvemafuta* emaorivhi.’ Iye akati kwaari, ‘Tora chibvumirano chako ichi ugare pasi, wobva wanyora 50.’ 7 Akabva ati kune mumwe, ‘Ko iwe, chikwereti chako chakakura sei?’ Akati, ‘Zviyero zvikuru 100 zvegorosi.’* Iye akati kwaari, ‘Tora chibvumirano chako ichi, unyore 80.’ 8 Tenzi wemutariri wacho akamurumbidza, kunyange zvazvo akanga asina kururama, nekuti akaratidza uchenjeri;* nekuti vanakomana venyika ino vanoita zvinhu neuchenjeri kuchizvarwa chavo kupfuura vanakomana vechiedza.+

9 “Uyewo ndinoti kwamuri: Zviitirei shamwari nepfuma isina kururama,+ kuti kana iyoyo yapera, vakugamuchirei munzvimbo dzekugara dzisingaperi.+ 10 Munhu akatendeka pazvinhu zvidiki akatendekawo pazvinhu zvikuru, uye munhu asina kururama pazvinhu zvidiki haanawo kururama pazvinhu zvikuru. 11 Saka kana musina kuratidza kuti makatendeka nepfuma isina kururama, ndiani achaisa mumaoko enyu pfuma yechokwadi? 12 Uye kana musina kuratidza kuti makatendeka pazvinhu zvemumwe munhu, ndiani achakupaiwo zvenyu pachenyu?+ 13 Hapana muranda angashandira vanatenzi vaviri, nekuti anogona kuvenga mumwe, oda mumwe wacho, kana kuti acharamba achida mumwe, ozvidza mumwe wacho. Hamugoni kuva varanda vaMwari nevePfuma.”+

14 VaFarisi, avo vaida mari, vakanga vakateerera zvese izvi, uye vakatanga kumufinyamira.+ 15 Saka akati kwavari: “Ndimi munozviti makarurama pamberi pevanhu,+ asi Mwari anoziva mwoyo yenyu.+ Nekuti chinhu chinonzi chinorumbidzwa pakati pevanhu chinosemesa pamberi paMwari.+

16 “Mutemo neVaprofita zvakagumira pana Johani. Kubvira ipapo, Umambo hwaMwari huri kuziviswa semashoko akanaka, uye vanhu vemarudzi ese vari kuhuvavarira.+ 17 Chokwadi, zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pane kuti kachikamu kamwe chete kebhii reMutemo karege kuzadziswa.+

18 “Munhu wese anoramba mudzimai wake, oroora mumwe, anoita upombwe, uye wese anoroora mudzimai akarambwa nemurume wake, anoita upombwe.+

19 “Paiva nemumwe murume akanga akapfuma aipfeka nguo dzepepuru dzemachira anodhura, achinakidzwa neupenyu hweumbozha mazuva ese. 20 Asi paiva nemumwe mupemhi ainzi Razaro aiva nemaronda muviri wese aigara achiiswa pagedhi rake 21 achitoshuva kudya zvinhu zvaidonha patafura yemupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. 22 Nekufamba kwenguva mupemhi uya akazofa, akaendeswa nengirozi padivi paAbrahamu.*

“Mupfumi wacho akafawo, akavigwa. 23 Uye ari muGuva* akasimudza maziso ake, achirwadziwa, uye akaona Abrahamu nechekure uye Razaro ari padivi pake.* 24 Saka akashevedzera achiti, ‘Baba Abrahamu, ndinzwireiwo tsitsi, mutume Razaro kuti anyike munwe wake mumvura, anditonhodze rurimi, nekuti ndiri kuyaura mumoto muno mandiri.’ 25 Asi Abrahamu akati, ‘Mwana, yeuka kuti iwewe wakawana zvinhu zvakanaka muupenyu hwako hwese, asi Razaro akawana zvinhu zvakaipa. Iye zvino ava kunyaradzwa kuno, asi iwe uri kurwadziwa. 26 Uye pasinei nezvese izvi, pakati pedu nemi pane mukaha wakakura uripo, zvekuti vaya vanoda kuyambuka vachiuya ikoko havakwanisi, uye vanobva ikoko havakwanisiwo kuuya kuno.’ 27 Iye akabva ati, ‘Kana zvakadaro, ndinokukumbirai baba, kuti mumutume kuimba yababa vangu, 28 nekuti ndine vanin’ina vashanu, kuti aende anonyatsovapupurira, kuti naivowo vasazouya munzvimbo ino yekurwadziwa.’ 29 Asi Abrahamu akati, ‘Vane zvakanyorwa naMozisi neVaprofita, saka ngavateerere izvozvo.’+ 30 Iye akabva ati, ‘Aiwa kani, baba Abrahamu, kana mumwe munhu anobva kuvakafa akaenda kwavari ivo vanopfidza zvivi zvavo.’ 31 Asi iye akati kwaari, ‘Kana vasingateereri zvakanyorwa naMozisi+ neVaprofita, havangabvumiwo kana mumwe munhu akamuka kuvakafa.’”

17 Akabva ati kuvadzidzi vake: “Hazviiti kuti zvinhu zvinokanganisa kutenda* zvitadze kuuya. Kunyange zvakadaro, ane nhamo munhu anozvikonzera! 2 Zviri nani kuti asungirirwe mumutsipa make zidombo guru rinokuyiswa, okandwa mugungwa pane kuti akanganise kutenda kwemumwe* wevadiki ava.+ 3 Ngwarirai. Kana hama yako ikakutadzira, itsiure,+ uye kana ikapfidza iregerere.+ 4 Kunyange kana ikakutadzira ka7 pazuva, yodzoka kwauri ka7 ichiti, ‘Ndiregererewo,’ unofanira kuiregerera.”+

5 Vaapostora vakabva vati kunaShe: “Tiwedzereiwo kutenda.”+ 6 Ishe akabva ati: “Kudai maiva nekutenda kwakaenzana nekatsanga kemasitadhi, maizoti kumuhabhurosi uyu, ‘Zvidzure unozvisima mugungwa!’ uye waikuteererai.+

7 “Ndiani wenyu ane muranda anenge achirima kana kuti achifudza makwai anoti kwaari kana adzoka kumba, ‘Chibva wauya ugare pasi udye’? 8 Handiti anototi kwaari, ‘Ndigadzirire zvekudya zvangu zvemanheru, upfeke epuroni, wondipa ndodya nekunwa kusvikira ndapedza, iwe wozodyawo nekunwa’? 9 Angatenda muranda wacho nezvaamuitira iro ragara riri basa rake here? 10 Saka nemiwo, kana maita zvese zvamakanzi muite, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’”+

11 Paaienda kuJerusarema akapfuura nepakati peSamariya neGarireya. 12 Paakanga ava kupinda mune mumwe musha, akasangana nevarume gumi vaiva nemaperembudzi, asi vakamira nechekure.+ 13 Uye vakashevedzera vachiti: “Jesu, Murayiridzi, tinzwireiwo tsitsi!” 14 Paakavaona akati kwavari: “Endai munozviratidza kuvapristi.”+ Pavakanga vava kuenda, vakabva vacheneswa.+ 15 Mumwe wavo paakaona kuti aporeswa, akadzoka achikudza Mwari nenzwi guru. 16 Akabva agwadama patsoka dzaJesu, achimuonga. Murume wacho aitova muSamariya.+ 17 Jesu akabva ati: “Havana kucheneswa vari 10 here? Saka vamwe 9 vari kupi? 18 Zvinoreva here kuti pashayikwa kana mumwe chete adzoka kuzokudza Mwari kunze kwemurume uyu werumwe rudzi?” 19 Akabva ati kwaari: “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”+

20 Paakabvunzwa nevaFarisi kuti Umambo hwaMwari hwakanga huchiuya riini,+ akavapindura kuti: “Umambo hwaMwari hahuuyi zvinoonekwa nevanhu vese; 21 uye vanhu vanenge vasingati, ‘Uyai muone, huri kuno!’ kana kuti, ‘Huri uko!’ Nekuti onai! Umambo hwaMwari huri pakati penyu.”+

22 Akabva ati kuvadzidzi: “Mazuva achauya pamuchada kuona rimwe remazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamuzorioni. 23 Uye vanhu vachati kwamuri, ‘Uyo ari uko!’ kana kuti, ‘Uyu ari kuno!’ Musabuda kana kuvatevera.+ 24 Nekuti sekupenya kunoita mheni ichibva kune rumwe rutivi rwedenga ichienda kune rumwe rutivi, ndizvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu+ pazuva rake.+ 25 Asi anofanira kutanga asangana nematambudziko akawanda, orambwa nechizvarwa chino.+ 26 Zvakare, sezvaiitika mumazuva aNoa,+ ndizvo zvichaitikawo mumazuva eMwanakomana wemunhu:+ 27 vaidya, vainwa, varume vachiroora, vakadzi vachiroorwa, kusvikira pazuva rakapinda Noa muareka,+ uye Mafashamo akauya, akavaparadza vese.+ 28 Ndizvo zvaiitikawo mumazuva aRoti:+ vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidyara, uye vaivaka. 29 Asi zuva rakabuda Roti muSodhomu, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vese.+ 30 Zvichavawo saizvozvo pazuva iroro pacharatidzwa Mwanakomana wemunhu.+

31 “Pazuva iroro munhu ari pamusoro pemba asi aine zvinhu zviri mumba ngaarege kuburuka kuti azvitore, uye munhu ari kumunda, ngaarege kudzokera kunotora zvinhu zvaakasiya. 32 Yeukai mudzimai waRoti.+ 33 Munhu wese anoedza kuchengetedza upenyu hwake* acharasikirwa nahwo, asi munhu wese anorasikirwa nahwo achahuchengetedza.+ 34 Ndinokuudzai kuti, usiku ihwohwo vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe chete; mumwe achaendwa naye, asi mumwe achasiyiwa.+ 35 Pachava nevakadzi vaviri vanenge vachikuya paguyo rimwe chete; mumwe achaendwa naye, asi mumwe achasiyiwa.” 36* —— 37 Saka vakamupindura kuti: “Kupi, Ishe?” Iye akati kwavari: “Kunenge kuine mutumbi, ndiko kuchaunganawo makondo.”+

18 Akabva avaudza mufananidzo nezvekukosha kwekugara vachinyengetera vasinganeti,+ 2 achiti: “Mune rimwe guta maiva nemumwe mutongi akanga asingatyi Mwari, asina basa nemunhu. 3 Muguta iroro maivawo neimwe chirikadzi yairamba ichienda kwaari ichiti, ‘Nditongereiwo nyaya yangu zvakarurama nemunhu wandakamhan’arira.’ 4 Mutongi wacho akamboita nguva achiramba, asi akazoti nechemumwoyo, ‘Handityi hangu Mwari uye handina basa nemunhu, 5 asi nekuti chirikadzi iyi iri kuramba ichindinetsa, ndichatonga nyaya yayo zvakarurama, kuti irege kuramba ichindishayisa mufaro.’”+ 6 Ishe akabva ati: “Manzwa zvakataurwa nemutongi wacho here kunyange zvazvo akanga asina kururama? 7 Saka Mwari angatadza here kuita kuti vanhu vake vakasarudzwa vanochema kwaari siku nesikati vatongerwe nyaya dzavo zvakarurama,+ achivaitira mwoyo murefu?+ 8 Ndinokuudzai, iye achaita kuti vakurumidze kutongerwa nyaya dzavo zvakarurama. Asi Mwanakomana wemunhu paachasvika, achawana kutenda uku* panyika here?”

9 Akataurawo mufananidzo uyu kune vamwe vaizviti vakarurama vachitarisira vamwe pasi, achiti: 10 “Varume vaviri vakaenda kutemberi kunonyengetera, mumwe wavo ari muFarisi uye mumwe wacho ari muteresi. 11 MuFarisi wacho akamira, akatanga kunyengetera nechemumwoyo achiti, ‘Haiwa Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasina kururama, mhombwe, uye kunyange muteresi uyu. 12 Ndinotsanya kaviri pavhiki; ndinopa chegumi chezvinhu zvese zvandinowana.’+ 13 Asi muteresi akanga akamira nechekure asingatombodi kunyange kutarisa kudenga, achingozvirova pachipfuva achiti, ‘Haiwa Mwari, ndinzwireiwo nyasha* ini mutadzi.’+ 14 Ndinokuudzai kuti murume uyu akaenda kumba kwake anzi akarurama kupfuura muFarisi uya.+ Nekuti munhu wese anozvikwidziridza achanyadziswa, asi munhu wese anozvininipisa achakwidziridzwa.”+

15 Vanhu vakanga vachiuyawo nevana vavo vacheche kwaari kuti avabate, asi vadzidzi pavakazviona vakatanga kuvatsiura.+ 16 Asi Jesu akaita kuti vana vacho vauye kwaari achiti: “Regai vana vadiki vauye kwandiri, uye musaedza kuvarambidza, nekuti Umambo hwaMwari ndehwevanhu vakadai.+ 17 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese asingagamuchiri Umambo hwaMwari semwana mudiki haazombopindi mahuri.”+

18 Mumwe mutongi akamubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?”+ 19 Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwaMwari chete.+ 20 Mirayiro unoiziva: ‘Usaita upombwe,+ usauraya,+ usaba,+ usapa uchapupu hwenhema,+ kudza baba vako naamai vako.’”+ 21 Iye akabva ati: “Yese iyi ndakaichengeta kubvira ndichiri mudiki.” 22 Jesu paakanzwa izvi akati kwaari, “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Tengesa zvinhu zvese zvauinazvo wopa varombo mari yacho, uye uchava nepfuma kudenga; uye uya uve muteveri wangu.”+ 23 Paakanzwa izvi, akarwadziwa chaizvo, nekuti akanga akapfuma chaizvo.+

24 Jesu akamutarisa, akati: “Zvichange zvakaoma chaizvo kuti vaya vane mari vakwanise kupinda muUmambo hwaMwari!+ 25 Ndingatoti zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muUmambo hwaMwari.”+ 26 Vaya vakanzwa izvi vakati: “Chokwadi, ndiani angaponeswa?”+ 27 Iye akati: “Zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.”+ 28 Asi Petro akati: “Onai! Takasiya zvinhu zvedu, tikakuteverai.”+ 29 Iye akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, hapana munhu akasiya imba kana mudzimai kana vanin’ina kana vabereki kana vana nekuda kweUmambo hwaMwari+ 30 asingazowani zvapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi mune ramangwana.”*+

31 Akabva atora vane Gumi Nevaviri akaenda navo parutivi, akati kwavari: “Iye zvino tiri kukwidza kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa pachishandiswa vaprofita nezveMwanakomana wemunhu zvichaitika.+ 32 Semuenzaniso, achaiswa kuvanhu vemamwe marudzi+ uye achanyombwa,+ oitirwa zvakaipa, osvipirwa mate.+ 33 Uye vachamurova zvakasimba, vomuuraya,+ asi pazuva rechitatu achamuka.”+ 34 Asi vakatadza kuziva zvairehwa nemashoko ake, nekuti akanga akavanzwa kwavari, saka havana kunzwisisa zvaitaurwa.

35 Jesu paakanga ava kusvika kuJeriko, paiva nemumwe murume aiva bofu akanga akagara parutivi pemugwagwa achipemha.+ 36 Akanzwa kuti paipfuura vanhu vakawanda, saka akatanga kubvunza kuti kwakanga kuinei. 37 Vakamuudza kuti: “Jesu wekuNazareta ari kupfuura!” 38 Akabva ashevedzera achiti: “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” 39 Vaya vaiva pamberi vakatanga kumutsiura vachimuudza kuti anyarare, asi akabva atowedzera kushevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” 40 Jesu akabva amira, akataura kuti murume wacho aunzwe kwaari. Paakanga auya, Jesu akamubvunza kuti: 41 “Unoda kuti ndikuitirei?” Iye akati: “Ishe, itai kuti ndione.” 42 Saka Jesu akati kwaari: “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”+ 43 Pakarepo akaona, akatanga kumutevera,+ achikudza Mwari. Uyewo vanhu vese pavakazviona, vakarumbidza Mwari.+

19 Akabva apinda muJeriko achipfuura nemo. 2 Uye maiva nemumwe murume ainzi Zakeyo; aiva mukuru wevateresi, uye akanga akapfuma. 3 Aida kuona kuti ainzi Jesu wacho ndeupi, asi aitadziswa kuona nekuwanda kwakanga kwakaita vanhu, sezvo aiva mupfupi. 4 Saka akamhanya kumberi, akanokwira mumutsamvi* kuti amuone, nekuti akanga ava kuda kupfuura neipapo. 5 Jesu paakasvika ipapo, akatarisa mudenga, akati kwaari: “Zakeyo, kurumidza kuburuka, nekuti nhasi ndinofanira kukushanyira kumba kwako.” 6 Akabva akurumidza kuburuka uye akamutambira nemufaro kumba kwake. 7 Pavakazviona, vese vakatanga kugunun’una vachiti: “Ashanya kumba kwemutadzi.”+ 8 Asi Zakeyo akasimuka, akati kunaShe: “Onai! Ishe, hafu yezvinhu zvangu, ndichapa varombo, uye zvinhu zvese zvandakabiridzira vanhu,* ndichazvidzorera zvapetwa kana.”+ 9 Jesu akabva ati kwaari: “Nhasi ruponeso rwauya mumba muno, nekuti naiyewo mwanakomana waAbrahamu. 10 Nekuti Mwanakomana wemunhu akauya kuzotsvaga nekuzoponesa zvakarasika.”+

11 Pavakanga vachiteerera zvinhu izvi, akataura mumwe mufananidzo, nekuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vaifunga kuti Umambo hwaMwari hwaizongooneka pakarepo.+ 12 Saka akati: “Mumwe murume weimba huru akaenda kune imwe nyika iri kure+ kuti anopiwa simba reumambo ozodzoka. 13 Akashevedza varanda vake gumi akavapa mamaina* gumi, akavaudza kuti, ‘Sarai muchiaitisa bhizimisi kusvikira ndadzoka.’+ 14 Asi vagari vemunyika yake vaimuvenga saka vakatuma vamiririri mumashure make kuti vanotaura kuti, ‘Hatidi kuti munhu uyu ave mambo wedu.’

15 “Paakazodzoka apiwa simba reumambo,* akashevedza varanda vacho vaakanga apa mari,* kuti aone kuti vakanga vawanei pavaiita bhizimisi.+ 16 Saka wekutanga akauya, akati, ‘Ishe, maina renyu rakabereka mamwe mamaina gumi.’+ 17 Akati kwaari, ‘Waita zvakanaka, muranda akanaka! Wakava akatendeka pazvinhu zvidiki, saka iva nesimba pamusoro pemaguta gumi.’+ 18 Wechipiri akauya, akati, ‘Ishe, maina renyu rakabereka mamwe mamaina mashanu.’+ 19 Akatizve kune uyu, ‘Newewo iva nesimba pamusoro pemaguta mashanu.’ 20 Asi mumwewo akauya akati, ‘Ishe, maina renyu iri; ndanga ndakariputira mujira ndakariviga. 21 Chiripo ndechekuti ndaikutyai, nekuti muri munhu ane hasha; munotora zvamusina kuchengetesa, uye munokohwa zvamusina kudyara.’+ 22 Iye akati kwaari, ‘Ndinokutonga nemashoko ako, muranda akaipa. Handiti waiziva hako kuti ndiri munhu ane hasha, uye kuti ndinotora zvandisina kuchengetesa, ndichikohwa zvandisina kudyara?+ 23 Saka wakaregererei kuisa mari* yangu kubhengi? Pandadzoka apa ndingadai ndava kuitora yabereka.’

24 “Akabva ati kune vaya vakanga vakamira pedyo, ‘Mutorerei maina racho, mupe uya ane mamaina gumi.’+ 25 Asi vakati kwaari, ‘Ishe, iye ane mamaina gumi!’— 26 ‘Ndinoti kwamuri, munhu wese anazvo, achawedzerwa zvimwe, asi uya asina, achatorerwa kunyange zvaainazvo.+ 27 Chibvai mauya pano nevavengi vangu vaya vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, muvauraye pamberi pangu.’”

28 Paakanga ataura zvinhu izvi, akaenderera mberi nerwendo rwake achikwidza kuJerusarema. 29 Uye paakanga ava pedyo neBhetifage neBhetani pagomo rinonzi Gomo reMiorivhi,+ akatuma vadzidzi vake vaviri,+ 30 achiti: “Pindai mumusha wamuri kuona uyu, uye kana mapinda imomo muchawana mwana wedhongi akasungirirwa, asati ambotasvwa nemunhu. Musunungurei muuye naye kuno. 31 Asi kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kurisunungurirei?’ munofanira kuti, ‘Riri kudiwa naIshe.’” 32 Saka vaya vakatumwa vakaenda, vakawana zvakangoita sezvaakavaudza.+ 33 Asi pavakanga vachisunungura mwana wacho wedhongi, varidzi vacho vakati kwavari: “Muri kusunungurirei dhongi iroro?” 34 Ivo vakati: “Riri kudiwa naIshe.” 35 Uye vakauya naro kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo dzekunze padhongi racho, ndokuita kuti Jesu aritasve.+

36 Vaiwaridza nguo dzavo dzekunze mumugwagwa maaifamba namo.+ 37 Paakangosvika pedyo nemugwagwa unobva muGomo reMiorivhi, vadzidzi vakawanda vakatanga kufara, vese vachirumbidza Mwari nenzwi guru pamusana pemabasa ese esimba avakanga vaona, 38 vachiti: “Akakomborerwa uyo anouya saMambo muzita raJehovha!* Kudenga ngakuve nerugare, uye kubwinya ngakuve kunzvimbo dzekumusorosoro!”+ 39 Asi vamwe vaFarisi vaiva pakati pevanhu vakati kwaari: “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.”+ 40 Asi iye akapindura achiti: “Ndinokuudzai kuti, kana vakaramba vakanyarara, matombo angatoshevedzera.”

41 Paakasvika pedyo neguta, akariona akatanga kurichema,+ 42 achiti: “Dai zvako iwe wanga wanzwisisa nhasi zvinhu zvinokuunzira rugare; asi zvino zvakavanzirwa maziso ako.+ 43 Nekuti mazuva achauya ekuti vavengi vako vachakupoteredza nerusvingo rwakavakwa nemapango akapinza uye vachakukomberedza vokutambudza* kumativi ese.+ 44 Vachakurovera pasi iwe nevana vako vari mauri,+ uye havazokusiyi uine dombo riri pamusoro perimwe,+ nekuti hauna kunzwisisa nguva yekuongororwa kwako.”

45 Akabva apinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitengesa,+ 46 achiti kwavari: “Zvakanyorwa kuti, ‘Imba yangu ichava imba yekunyengeterera,’+ asi imi maiita bako remakororo.”+

47 Akaramba achidzidzisa mazuva ese mutemberi. Asi vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vevanhu vaitsvaga kumuuraya;+ 48 asi vaishaya kuti vozviita sei nekuti vanhu vese vairamba vakamuunganira vachiteerera zvaaitaura.+

20 Mumwe musi achidzidzisa vanhu mutemberi uye achizivisa mashoko akanaka, vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vakasvika 2 vakati kwaari: “Tiudze tinzwe, une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Kana kuti ndiani akakupa mvumo yacho?”+ 3 Akavapindura kuti: “Ndichakubvunzaiwo mubvunzo, mondipindura: 4 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?” 5 Vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Nei musina kumutenda?’ 6 Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vese vachatitema nematombo, nekuti vane chokwadi kuti Johani aiva muprofita.”+ 7 Saka vakapindura kuti vakanga vasingazivi kwarwakabva. 8 Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.”

9 Akabva atanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akausiya mumaoko mevarimi, akaenda kunze kwenyika kwenguva refu.+ 10 Mwaka wekukohwa pawakasvika, akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti vamupe michero yemunda wacho wemizambiringa. Asi varimi vacho vakamuendesa asina chinhu, pashure pekumurova.+ 11 Akatumirazve mumwe muranda. Naiyewo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu. 12 Asi akatumirazve wechitatu; uyuwo vakamukuvadza, vakamukanda kunze. 13 Muridzi wemunda wemizambiringa akabva ati, ‘Ndoita seiko? Regai nditumire mwanakomana wangu wandinoda.+ Pamwe uyu vachamuremekedza.’ 14 Varimi vacho pavakamuona vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka. Ngatimuurayei, kuti nhaka yacho ive yedu.’ 15 Saka vakamukanda kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya.+ Saka muridzi wemunda wemizambiringa achavaita sei? 16 Achauya ouraya varimi ava, opa vamwe munda wacho wemizambiringa.”

Pavakanzwa izvi vakati: “Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kutomboitika!” 17 Asi iye akanyatsovatarisa akati: “Saka izvi zvakanyorwa zvinorevei: ‘Dombo rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona’?*+ 18 Munhu wese anowira padombo iroro achaparara.+ Kana ari munhu achawirwa naro, richamukuya.”

19 Vanyori nevatungamiriri vevapristi vaida kumubata pakare ipapo, asi vaitya vanhu, nekuti vakazoziva kuti aitaura mufananidzo uyu achifunga nezvavo.+ 20 Uye pashure pekuongorora zvese zvaaiita, vakatuma varume vavakanga vabhadhara pachivande, kuti vanyepedzere kuva vanhu vakarurama, vachida kumuwanira mhosva pamashoko ake+ vobva vamuisa mumaoko ehurumende nemumaoko agavhuna. 21 Vakamubvunza vachiti: “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama uye hamusaruri, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi: 22 Zvinobvumirwa nemutemo* here kubhadhara mutero* kuna Kesari kana kuti kwete?” 23 Asi iye akazviona kuti vaida kumunyengedza, ndokuti kwavari: 24 “Ndiratidzei dhinari.* Mufananidzo nemashoko akanyorwa pariri ndezvaani?” Ivo vakati: “NdezvaKesari.” 25 Iye akati kwavari: “Saka munofanira kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari,+ asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ 26 Saka vakatadza kumuwanira mhosva pamashoko ake pamberi pevanhu, asi vakashamiswa nemhinduro yake zvekuti vakashaya chekutaura.

27 Asi vamwe vaSadhusi, avo vanoti hakuna rumuko,+ vakauya vakamubvunza kuti:+ 28 “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti, ‘Kana murume akafa achisiya mudzimai, asi iye asina mwana, munin’ina wake anofanira kutora mudzimai wacho, oberekera mukoma wake vana.’+ 29 Saka kwaiva nevatevedzani vanomwe. Wekutanga akaroora, asi akafa asina mwana. 30 Saka wechipiri 31 newechitatu vakamuroorawo. Ndizvo zvavakaita vese vari vanomwe; vakafa vasina vana. 32 Mukadzi wacho akazofawo. 33 Saka parumuko, achange ari mudzimai weupi wavo sezvo vese vari vanomwe vakambomuroora?”

34 Jesu akati kwavari: “Vana vepanguva ino* vanoroora nekuroorwa, 35 asi vaya vakaonekwa vakakodzera kuwana upenyu hwepanguva iyoyo* uye kumutswa kuvakafa havaroori kana kuroorwa.+ 36 Tingatoti havazofizve, nekuti vanenge vakaita sengirozi, uye ivo vana vaMwari nekuti vanenge vari vana verumuko. 37 Asi zvekuti vakafa vanomutswa, kunyange naMozisi akazvizivisa munyaya yegwenzi reminzwa, paanoshevedza Jehovha* kuti ‘Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho.’+ 38 Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu, nekuti kwaari vese vapenyu.”+ 39 Vamwe vanyori vakapindura kuti: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka.” 40 Nekuti vakanga vasisina ushingi hwekumubvunza kunyange mubvunzo mumwe chete.

41 Iye akabva avabvunza kuti: “Sei vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 42 Nekuti Dhavhidhi anoti mubhuku reMapisarema, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi 43 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”’+ 44 Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?”

45 Vanhu vese pavakanga vakateerera, akabva ati kuvadzidzi vake: 46 “Chenjererai vanyori vanofarira zvekufamba-famba vakapfeka nguo refu vachida kukwaziswa mumisika uye vanoda zvigaro zvepamberi* mumasinagogi nekugara panzvimbo dzevanoremekedzwa pakudya kwemanheru.+ 47 Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu yekuda kuonekwa nevanhu. Ava vachawana mutongo wakaomarara kupfuura vamwe vese.”

21 Paakasimudza musoro, akaona vapfumi vachikanda zvipo zvavo mumidziyo yekuisira mari.+ 2 Akabva aona imwe chirikadzi yaishayiwa ichikanda tumari tuviri tusinganyanyi kukosha,*+ 3 uye akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yabvisa zvakawanda kupfuura zvavaita vese.+ 4 Nekuti ava vese vakanda zvipo vachibvisa pamari yavo yakawandisa, asi iye, neurombo hwake, abvisa zvese zvaanga ainazvo zvaizomuraramisa.”+

5 Gare gare, vamwe pavaitaura nezvetemberi, kuti yakanga yakashongedzwa sei nematombo akanaka chaizvo uye nezvinhu zvakakumikidzwa,+ 6 iye akati: “Kana zviri zvinhu izvi zvamuri kuona, pachasvika mazuva asingazosiyiwi dombo riri pamusoro perimwe risina kukoromorwa.”+ 7 Vakabva vamubvunza kuti: “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichanyatsoitika riini, uye chii chichava chiratidzo chekuti zvinhu izvi zvava kuda kuitika?”+ 8 Akati: “Chenjerai kuti hamutsauswi,+ nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye, ‘Nguva yacho yaswedera.’ Musavatevera.+ 9 Uyezve, pamunonzwa nezvehondo nemhirizhonga,* musatya. Nekuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga zvaitika, asi mugumo haubvi wauya pakarepo.”+

10 Akabva ati kwavari: “Rudzi ruchamukira rudzi,+ uye umambo huchamukira umambo.+ 11 Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo dzakawanda muchava nenzara nematenda;+ kuchaonekwa zvinhu zvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga.

12 “Asi zvinhu izvi zvese zvisati zvaitika, vanhu vachakubatai, vokutambudzai,+ vachikuendesai kumasinagogi nekumajeri. Muchaendeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna pamusana pezita rangu.+ 13 Izvi zvichaita kuti mupe uchapupu. 14 Saka musazvinetsa mumwoyo yenyu muchidzidzira kuti muchapindura sei zvamunenge muchipomerwa,+ 15 nekuti ndichakupai mashoko neuchenjeri zvichaita kuti vavengi venyu vese vakabatana vatadze kuzviramba kana kuzvipikisa.+ 16 Zvakare, muchatengeswa kunyange nevabereki nevakoma nehama neshamwari, uye vamwe venyu vachaurayiwa,+ 17 uye muchavengwa nevanhu vese pamusana pezita rangu.+ 18 Asi hapana kunyange bvudzi remusoro wenyu rimwe chete richaparara.+ 19 Kana mukatsungirira, muchachengetedza upenyu hwenyu.*+

20 “Asi pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa,+ chibvai maziva kuti rava kuda kuitwa dongo.+ 21 Vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo,+ vaya vari mukati maro* ngavabude, uye vaya vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri, 22 nekuti aya mazuva ekupa mutongo wakarurama,* kuti zvinhu zvese zvakanyorwa zvizadziswe. 23 Vane nhamo vakadzi vanenge vaine pamuviri nevaya vanenge vachiyamwisa mumazuva iwayo!+ Nekuti munyika iyi muchava nekutambudzika kukuru uye rudzi urwu ruchaitirwa hasha. 24 Vachaparadzwa nebakatwa, uye vachaendeswa kumarudzi ese vari nhapwa;+ uye Jerusarema richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi,* kusvikira nguva yemamwe marudzi* yazadziswa.+

25 “Kuchavawo nezviratidzo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi,+ uye marudzi ari panyika acharwadziwa chaizvo achishaya kuti oita sei nekuda kwekutinhira kwegungwa uye kusagadzikana kwaro. 26 Vanhu vachapera simba nekutya uye nekutarisira zvinhu zvinouya panyika, nekuti masimba ekudenga achazununguswa. 27 Uye vachabva vaona Mwanakomana wemunhu+ achiuya ari mugore aine simba nekubwinya kukuru.+ 28 Asi zvinhu izvi pazvinotanga kuitika, simukai, musimudze misoro yenyu, nekuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”

29 Akabva avaudza mufananidzo, achiti: “Cherechedzai muonde nemimwe miti yese.+ 30 Kana yava kutungira, munozviona uye munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. 31 Nemiwo pamunoona zvinhu zvese izvi zvava kuitika, zivai kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo. 32 Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri zvinhu zvese izvi zvisati zvaitika.+ 33 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haazombopfuuri.+

34 “Asi chenjererai kuti mwoyo yenyu isatomboremerwa nekudyisa nekunwisa+ nekuzvidya mwoyo nezvinhu zveupenyu,+ mukazongoerekana masvikirwa nezuva iroro 35 seriva.+ Nekuti richauya pavanhu vese vanogara panyika. 36 Saka rambai makamuka,+ muchigara muchinyengetera muchiteterera+ kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvese izvi zvinofanira kuitika uye kuti mukwanise kumira pamberi peMwanakomana wemunhu.”+

37 Saka aiswera achidzidzisa mutemberi, asi usiku aibuda achinorara kugomo rainzi Gomo reMiorivhi. 38 Uye vanhu vese vaiuya kwaari mutemberi mangwanani-ngwanani vachida kuzonzwa zvaaitaura.

22 Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso, unonzi Paseka,+ wakanga wava kusvika.+ 2 Uye vatungamiriri vevapristi nevanyori vaitsvaga kuti vomuuraya sei,+ nekuti vaitya vanhu.+ 3 Satani akabva apinda muna Judhasi, uya ainzi Iskariyoti, akanga ari mumwe wevane Gumi Nevaviri,+ 4 uye akaenda, akataura nevatungamiriri vevapristi nevakuru vakuru vetemberi pamusoro pekuti angamutengesa sei kwavari.+ 5 Vakafara nazvo, vakawirirana kuti vaizomupa mari yesirivha.+ 6 Saka akabvumirana nazvo, akatanga kutsvaga mukana wakanaka wekumutengesa kwavari pasina vanhu vakawanda.

7 Zuva rekutanga reChingwa Chisina Mbiriso rakazosvika, paifanira kubayirwa chibayiro chePaseka;+ 8 saka Jesu akatuma Petro naJohani, achiti: “Endai munotigadzirira Paseka kuti tidye.”+ 9 Ivo vakati kwaari: “Munoda kuti tinoigadzirira kupi?” 10 Iye akati kwavari: “Onai! Pamunopinda muguta muchasangana nemurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei mumba maanopinda.+ 11 Muti kumuridzi wemba, ‘Zvanzi neMudzidzisi: “Imba yevaenzi yandingadyira Paseka nevadzidzi vangu ndeipi?”’ 12 Murume iyeye achabva akuratidzai imba huru yepamusoro ine zvinhu zvekushandisa. Igadzirirei imomo.” 13 Saka vakaenda, vakazviwana zvakangoita sezvaakanga avataurira, vakagadzirira Paseka yacho.

14 Saka nguva yacho payakakwana, akagara patafura nevaapostora.+ 15 Uye akati kwavari: “Ndanga ndakamirira chaizvo kudya Paseka iyi nemi ndisati ndatambura; 16 nekuti ndinokuudzai kuti, handizoidyizve kusvikira yazadziswa muUmambo hwaMwari.” 17 Uye akatambira kapu, akaonga, akati: “Itorei mutambidzane mese, 18 nekuti ndinokuudzai kuti, kubvira zvino handichanwi zvakare zvibereko zvemuzambiringa kusvikira Umambo hwaMwari hwauya.”

19 Akatorawo chingwa,+ akaonga, akachimedura, akavapa, achiti: “Ichi chinomirira muviri wangu,+ uchapiwa kuitira imi.+ Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”+ 20 Akaitawo izvozvo nekapu pavakanga vapedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva+ muropa rangu,+ ramuchadururirwa.+

21 “Asi onai! ruoko rwemutengesi wangu runeni patafura.+ 22 Nekuti Mwanakomana wemunhu ari kuenda zvake sezvakagara zvataurwa;+ kunyange zvakadaro, ane nhamo munhu iyeye anomutengesa!”+ 23 Saka vakatanga kutaurirana pakati pavo kuti angava ani akanga ava kuda kuita zvakadaro.+

24 Zvisinei, pakamuka nharo dzakaomarara pakati pavo pamusoro pekuti ndiani aitorwa semukuru pane vese.+ 25 Asi akati kwavari: “Madzimambo emamwe marudzi anozviita madzishe paari, uye vaya vane simba pamusoro pawo vanonzi Vabatsiri.+ 26 Asi imi hamufaniri kudaro.+ Mukuru pakati penyu anofanira kuva semudiki pane vese,+ uye uya ari kutungamirira anofanira kushandira vamwe.* 27 Nekuti mukuru ndeupi, uya akagara patafura kana kuti uya ari kumuunzira zvekudya?* Haasi uya akagara patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu seuya ari kukuunzirai zvekudya.*+

28 “Kunyange zvakadaro, imi ndimi makaramba muineni+ mumiedzo yangu;+ 29 uye ndinoita sungano nemi, saBaba vangu vakaita neni sungano yeumambo,+ 30 kuti mudye nekunwa patafura yangu muUmambo hwangu,+ mugare pazvigaro zveumambo+ muchitonga madzinza 12 aIsraeri.+

31 “Simoni, Simoni, ona! Satani akati ari kuda kuva nemi mese kuti akupepetei segorosi.+ 32 Asi ndakakunyengeterera ndichiteterera kuti kutenda kwako kurege kupera;+ uye iwe, kana wangodzoka, simbisa hama dzako.”+ 33 Iye akabva ati kwaari: “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi kujeri nemurufu.”+ 34 Asi iye akati: “Petro, ndinokuudza kuti, jongwe harizoriri nhasi usati waramba katatu kuti unondiziva.”+

35 Akatiwo kwavari: “Pandakakutumai musina chikwama nehomwe yekuisira zvekudya, neshangu,+ pane chamakashayiwa here?” Ivo vakati: “Hapana!” 36 Akabva ati kwavari: “Asi iye zvino ane chikwama ngaachitore, uye ngaatorewo homwe yekuisira zvekudya, uye uya asina bakatwa ngaatengese nguo yake yekunze aritenge. 37 Nekuti ndinokuudzai kuti zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvekuti, ‘Akaverengwa pamwe chete nevasingateereri mutemo.’+ Nekuti zvine chekuita neni zviri kuzadziswa.”+ 38 Ivo vakabva vati: “Ishe, onai! pane mapakatwa maviri.” Iye akati kwavari: “Iwaya akwana.”

39 Paakabuda, akaenda kuGomo reMiorivhi sezvaaiwanzoita, uye vadzidzi vakamuteverawo.+ 40 Pavakasvika panzvimbo yacho, akati kwavari: “Murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+ 41 Iye akabva pavaiva akaenda chinhambwe chinosvika dombo rikakandwa, akapfugama, akatanga kunyengetera, 42 achiti: “Baba, kana muchida, bvisai kapu iyi kwandiri. Kunyange zvakadaro, ngakurege kuva kuda kwangu, asi kwenyu.”+ 43 Ngirozi yakabva yazviratidza kwaari ichibva kudenga, ikamusimbisa.+ 44 Asi aitambudzika zvikuru zvekuti akaramba achinyengetera nemwoyo wese;+ uye ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi. 45 Paakasimuka kubva paainyengetera, akaenda kwaiva nevadzidzi, akavaona vachitsimwaira, vapera simba nekutambudzika kwavaiita.+ 46 Akati kwavari: “Muri kurarirei? Mukai murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+

47 Paakanga achiri kutaura, vanhu vakawanda vakabva vasvika, uye murume ainzi Judhasi, mumwe wevane Gumi Nevaviri, ndiye aivatungamirira. Akabva aswedera kuna Jesu kuti amutsvode.+ 48 Asi Jesu akati kwaari: “Judhasi, uri kutengesa Mwanakomana wemunhu nekutsvoda here?” 49 Vaya vakanga vainaye pavakaona zvakanga zvava kuda kuitika, vakati: “Ishe, torwisa nemapakatwa here?” 50 Mumwe wavo akatocheka muranda wemupristi mukuru, nzeve yake yekurudyi ikabva.+ 51 Asi Jesu akapindura achiti: “Zvakwana.” Akabata nzeve yacho, akamuporesa. 52 Jesu akabva ati kuvatungamiriri vevapristi nevakuru vakuru vetemberi nevakuru vakanga vamuvinga ikoko: “Ko ndava gororo here zvamauya muine mapakatwa netsvimbo?+ 53 Pandaiva nemi mutemberi zuva nezuva+ hamuna kumbobvira mandibata wani.+ Asi ino inguva yenyu uye nguva yekuti rima ritonge.”+

54 Vakabva vamusunga, vakaenda naye,+ ndokupinda naye mumba memupristi mukuru; asi Petro akanga achitevera ari nechekure zvishoma.+ 55 Pavakabatidza moto pakati pechivanze, ndokugara pamwe chete, Petro aivawo pakati pavo.+ 56 Asi mumwe mushandi wechisikana akamuona muchiedza chemoto, akanyatsomutarisa, akati: “Murume uyu aivawo naye.” 57 Asi iye akaramba, akati: “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.” 58 Pasina nguva mumwe munhu akamuona akati: “Newewo uri mumwe wavo.” Asi Petro akati: “Iwe murume iwe, handisi ini.”+ 59 Uye pashure peinenge awa, mumwe murume akaramba achisimbirira achiti: “Chokwadi murume uyu aivawo naye, nekuti iye anotova muGarireya!” 60 Asi Petro akati: “Iwe murume iwe, handizivi zvauri kutaura ini.” Pakarepo, achiri kutaura kudaro, jongwe rakabva rarira. 61 Ishe akabva atendeuka, akatarisa Petro, uye Petro akabva ayeuka mashoko aShe paakati kwaari: “Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.”+ 62 Uye akabuda panze, akachema zvinosiririsa.

63 Varume vakanga vasunga Jesu vakatanga kumunyomba,+ vachimurova;+ 64 vakamufukidza kumeso uye vaimubvunza vachiti: “Profita! Ndiani akurova?” 65 Uye vakataura zvimwe zvakaipa zvakawanda kwaari vachimhura.

66 Pakwakazoedza, dare revakuru vevanhu, kureva vatungamiriri vevapristi nevanyori, rakaungana,+ rikaenda naye muimba yavo yeSanihedrini, ndokuti: 67 “Kana uri iwe Kristu,+ tiudze.” Asi iye akati kwavari: “Kunyange kana ndikakuudzai, hamuzombozvitendi. 68 Zvakare, kana ndikakubvunzai, hamungambopinduri. 69 Asi kubvira zvino Mwanakomana wemunhu+ achange akagara kuruoko rwaMwari rwerudyi rune simba.”+ 70 Vese vakabva vati: “Saka uri Mwanakomana waMwari here?” Iye akati kwavari: “Imimi ndimi muri kutaura kuti ndini.” 71 Ivo vakati: “Tichadireizve humwe uchapupu? Nekuti tazvinzwira tega kubva mumuromo make.”+

23 Saka vakasimuka vakawanda kudaro, vakaenda naye kuna Pirato.+ 2 Vakabva vatanga kumupomera,+ vachiti: “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achirambidza kutera mitero kuna Kesari,+ uye achizviti ndiye Kristu mambo.”+ 3 Pirato akabva amubvunza kuti: “Ndiwe Mambo wevaJudha here?” Akapindura achiti: “Iwe ndiwe uri kuzvitaura.”+ 4 Pirato akabva ati kuvatungamiriri vevapristi nekuvanhu vese: “Ndashaya mhosva ine munhu uyu.”+ 5 Asi vakaramba vachiti: “Anonyonganisa vanhu nekudzidzisa kwaari kuita muJudhiya yese, achitangira kuGarireya achitosvika kunyange kuno.” 6 Paakanzwa izvozvo, Pirato akabvunza kana murume wacho aibva kuGarireya. 7 Paakaona kuti aibva munharaunda yaitongwa naHerodhi,+ akamutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema mazuva iwayo.

8 Herodhi paakaona Jesu akafara kwazvo. Nekuti akanga ava nenguva refu achida kumuona nekuti akanga anzwa zvakawanda nezvake,+ uye aitarisira kumuona achiita chimwe chishamiso. 9 Saka akatanga kumubvunza mibvunzo yakawanda, asi haana kumupindura.+ 10 Asi vatungamiriri vevapristi nevanyori vakaramba vachisimuka, vachimupomera zvakasimba. 11 Herodhi pamwe chete nevarwi vake vakabva vamubata zvakaipa,+ vakamupfekedza nguo yakanaka zviri zvekumutsvinyira,+ ndokuzomudzorera kuna Pirato. 12 Musi iwoyo Herodhi naPirato vakabva vava shamwari, nekuti izvi zvisati zvaitika vaivengana.

13 Pirato akabva aunganidza vatungamiriri vevapristi, vatongi, nevamwe vanhu, 14 akati kwavari: “Mauya nemurume uyu kwandiri muchiti anoita kuti vanhu vapandukire hurumende. Asi onai! ini ndamuongorora pamberi penyu ndikashaya kuti zvamuri kupomera murume uyu zviri kubva papi.+ 15 Kunyange naHerodhi amushayirawo mhosva, nekuti amudzosa kwatiri, saka onai! hapana chaakaita chakakodzera rufu. 16 Saka ndichamuranga+ ndomusunungura.” 17* —— 18 Asi vanhu vese vakashevedzera, vachiti: “Urayai murume uyu,* uye tisunungurirei Bharabhasi!”+ 19 (Murume uyu akanga akandwa mujeri nemhosva yekubatsira pakupandukira hurumende kwakanga kwaitika muguta uye yekuponda.) 20 Pirato akashevedzerazve kwavari, nekuti aida kusunungura Jesu.+ 21 Vakabva vatanga kushevedzera, vachiti: “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!”+ 22 Kechitatu akati kwavari: “Nemhosva yei? Atadzeiko murume uyu? Hapana chandawana chaakaita chakakodzera rufu; saka ndichamuranga ndomusunungura.” 23 Vakabva varamba vachingoshevedzera nemanzwi makuru vachiti aurayiwe, uye manzwi avo akakunda.+ 24 Saka Pirato akapa mutongo wekuti zvavaida zviitwe. 25 Akasunungura murume wavakati asunungurwe, uyo akanga akandwa mujeri nemhosva yekubatsira pakupandukira hurumende uye yekuponda, asi akavapa Jesu sezvavaida.

26 Pavaienda naye, vakabata mumwe munhu wekuKurini ainzi Simoni, akanga achibva kumaruwa, vakamutakudza danda rekutambudzirwa* kuti afambe kumashure kwaJesu akaritakura.+ 27 Vanhu vakawanda vakanga vachimutevera, kusanganisira vakadzi vaizvirova neshungu vachichema. 28 Jesu akatendeukira kuvakadzi vacho, akati: “Vanasikana veJerusarema, regai kundichema. Zvichemei imi nevana venyu;+ 29 nekuti, onai! mazuva ari kuuya pachanzi nevanhu, ‘Vanofara vakadzi vasingabereki, uye zvibereko zvisina kubereka, nemazamu asina kuyamwisa!’+ 30 Vachabva vatanga kuti kumakomo, ‘Tiwirei!’ uye kuzvikomo, ‘Tifukidzei!’+ 31 Kana vachiita izvi muti uchiri munyoro, ko kuzoti kana waoma?”

32 Vamwe varume vaviri, makororo, vaiendeswawo kunourayiwa pamwe chete naye.+ 33 Uye pavakasvika panzvimbo yainzi Dehenya,+ vakamuroverera pamwe chete nemakororo acho, mumwe wavo ari kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe.+ 34 Asi Jesu aiti: “Baba, varegererei, nekuti havazivi zvavari kuita.” Uyezve, vakakanda mijenya kuti vagovane nguo dzake.+ 35 Uye vanhu vakamira vachitarisa. Asi vatongi vaifinyama vachiti: “Akaponesa vamwe; ngaachizviponesa kana ari iye Kristu waMwari, Akasarudzwa.”+ 36 Kunyange varwi vaimutsvinyira, vachiuya paari vomupa vhiniga+ 37 vachiti: “Kana uri Mambo wevaJudha, zviponese.” 38 Pamusoro pake paivawo nechikwangwani chaiva nemashoko aiti: “Uyu ndiye Mambo wevaJudha.”+

39 Mumwe wemakororo akanga akaturikwa ipapo akatanga kumutuka+ achiti: “Hausi iwe Kristu here? Zviponese, wobva watiponesawo!” 40 Mumwe wake akabva amutsiura achiti: “Hautyi Mwari here, sezvo wapiwa mutongo wakafanana newake? 41 Isu tatongwa zvakakodzerana nesu, nekuti tiri kuwana zvinoenderana nezvatakaita; asi murume uyu haana chaakatadza.” 42 Akabva ati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muUmambo hwenyu.”+ 43 Uye iye akati kwaari: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso.”+

44 Pari zvino yakanga yava awa yechi6,* asi rima rakava panyika yese kusvikira paawa yechi9,*+ 45 nekuti chiedza chezuva chakadzima; keteni renzvimbo tsvene+ rakabva rabvaruka nepakati.+ 46 Uye Jesu akashevedzera nenzwi guru, akati: “Baba, ndinoisa mweya wangu*+ mumaoko enyu.” Paakataura izvi, akabva afa.*+ 47 Paakaona zvakanga zvaitika, mukuru weuto akatanga kukudza Mwari, achiti: “Chokwadi murume uyu anga akarurama.”+ 48 Uye vanhu vese vakanga vaunganira kuzoona zvaiitika pavakaona zvakanga zvaitika, vakadzokera kumisha yavo vachizvirova zvipfuva. 49 Uye vese vaimuziva vakanga vakamira nechekure. Uyewo vakadzi vakanga vauya naye kubva kuGarireya vaivapo uye vakaona zvese izvi.+

50 Uye kwaiva nemumwe murume ainzi Josefa, nhengo yeDare, akanga ari munhu akanaka uye akarurama.+ 51 (Murume uyu akanga asina kutsigirana navo pavakarangana uye pane zvavakazoita.) Aibva kuArimatiya, guta revaJudhiya, uye akanga akamirira Umambo hwaMwari. 52 Murume uyu akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. 53 Uye akachiburutsa,+ akachiputira nejira rakanaka, akachiradzika muguva* rakanga rakacherwa padombo,+ makanga musati mamboradzikwa munhu. 54 Rakanga riri zuva reKugadzirira,+ uye Sabata+ rakanga rava kuda kutanga. 55 Asi vakadzi vakanga vabva naye kuGarireya vakaendawo, vakatarisa guva* racho, vakaona kuti chitunha chake chakanga charadzikwa sei,+ 56 uye vakadzokera kunogadzirira zvinonhuhwirira nemafuta anonhuhwirira. Asi sezvagara zvichiitwa, vakazorora paSabata+ maererano nemurayiro.

24 Asi pazuva rekutanga revhiki, vakafumoenda kuguva racho, vaine zvinonhuhwirira zvavakanga vagadzirira.+ 2 Asi vakawana dombo rakungurutswa kubva paguva,+ 3 uye pavakapinda havana kuwana chitunha chaShe Jesu.+ 4 Pavakanga vachiri kuvhiringidzika neizvi, vamwe varume vaviri vakanga vakapfeka zvipfeko zvaipenya vakamira pedyo navo. 5 Vakadzi vacho vakatya, vakaramba vakatarisa pasi, saka varume vacho vakati kwavari: “Muri kutsvagirei munhu mupenyu pakati pevakafa?+ 6 Haapo, asi amutswa. Yeukai matauriro aakaita nemi achiri kuGarireya, 7 achiti Mwanakomana wemunhu anofanira kuiswa mumaoko evatadzi, orovererwa, ozomuka pazuva rechitatu.”+ 8 Vakabva vayeuka mashoko ake,+ 9 uye vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu zvese izvi vane Gumi Nemumwe nevamwe vese.+ 10 Vakadzi vacho vaiva Mariya Magadharini, naJoana, naMariya amai vaJakobho. Vamwe vakadzi vese vavaiva navo vakaudzawo vaapostora zvinhu izvi. 11 Asi mashoko aya aiita seenhando kwavari, uye vakanga vasingabvumi zvaitaurwa nevakadzi vacho.

12 Asi Petro akasimuka, akamhanya kuguva, uye paakadongorera, akangoona machira chete. Saka akabva ipapo achishaya kuti chii chakanga chaitika.

13 Asi musi iwoyo chaiwo vaviri vavo vakanga vachienda kune mumwe musha wainzi Emausi, mufambo wemakiromita angasvika 11* kubva muJerusarema, 14 vachikurukura zvinhu zvese izvi zvakanga zvaitika.

15 Pavaikurukura kudaro vachitaura nezvezvinhu izvi, Jesu pachake akasvika, akatanga kufamba navo, 16 asi maziso avo akadzimaidzwa kuti vasamuziva.+ 17 Akati kwavari: “Inyaya yeiko iyoyo yamuri kukurukura muchifamba?” Vakabva vamira, zviso zvavo zvakasuruvara. 18 Mumwe wavo ainzi Kiropasi akapindura achiti: “Asi uri muenzi muJerusarema uchigara wega zvekuti hauzivi* nyaya yakaitika imomo mazuva apera aya?” 19 Akavabvunza kuti: “Inyaya yei?” Ivo vakati kwaari: “Nyaya yaJesu wekuNazareta,+ akaratidza kuti aiva muprofita ane simba pamabasa nemashoko pamberi paMwari nevanhu vese;+ 20 uye yekuti vatungamiriri vevapristi nevatongi vedu vakamutongera rufu,+ vakamuroverera. 21 Asi taitarisira kuti munhu uyu ndiye aizonunura Israeri.+ Uye hazvisirizvo zvega. Ratova zuva rechitatu kubvira pakaitika zvinhu izvi. 22 Uyewo vamwe vakadzi vekwedu vatishamisawo, nekuti vafumira kuguva+ 23 uye pavashaya chitunha chake, vauya vachiti vaona chiratidzo chinoshamisa chengirozi, dzikataura kuti mupenyu. 24 Vamwe vatanga tiinavo vaendawo kuguva kwacho,+ uye vanyatsowana zvakaita sezvanga zvataurwa nevakadzi vacho, asi havana kumuona.”

25 Saka akati kwavari: “Chokwadi vanhu imi hamunzwisisi uye mwoyo yenyu inononoka kutenda zvinhu zvese zvakataurwa nevaprofita! 26 Handiti Kristu aifanira kutambura saizvozvo+ kuti apinde mukubwinya kwake?”+ 27 Uye achitangira pane zvakanyorwa naMozisi neVaprofita vese,+ akavadudzira zvinhu zvainge zvakataurwa nezvake muMagwaro ese.

28 Vakazosvika pedyo nemusha wavaienda, iye akabva aita seaida kupfuurira. 29 Asi vakamunyengetedza kuti asaenda vachiti: “Rarai pano, nekuti zuva ravira uye kwava kusviba.” Akabva apinda navo mumba. 30 Paakanga ava kudya navo, akatora chingwa, akaonga, akachimedura, akatanga kuvapa.+ 31 Maziso avo akabva asvinudzwa, vakamuziva; asi iye akabva anyangarika.+ 32 Vakatanga kutaurirana vachiti: “Hatina here kunzwa kutsva kwanga kuchiita mwoyo yedu paanga achitaura nesu mumugwagwa achinyatsotizarurira* Magwaro!” 33 Vakabva vasimuka panguva iyoyo chaiyo, vakadzokera kuJerusarema, uye vakawana vane Gumi Nemumwe nevamwe vavakanga vakaungana navo, 34 avo vakati: “Chokwadi Ishe amutswa, uye azviratidza kuna Simoni!”+ 35 Ivo vakabva varondedzera zvakanga zvaitika mumugwagwa uye kuti vazomuziva sei paamedura chingwa.+

36 Vachiri kutaura kudaro, iye pachake akamira pakati pavo akati kwavari: “Rugare ngaruve nemi.”+ 37 Vakavhunduka, vakatya, vachifunga kuti vaiona chisikwa chemweya. 38 Saka akati kwavari: “Nei muri kunetseka, uye nei mwoyo yenyu isina chokwadi nezvamuri kuona? 39 Onai maoko angu netsoka dzangu, ndini chaiye; ndibatei muone, nekuti mweya hauna nyama nemapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo izvi.” 40 Paaitaura izvi, aivaratidza maoko ake netsoka dzake. 41 Asi vasati vanyatsotenda kuti ndiye here nekuda kwekufara uye kushamiswa kwavaiita, akati kwavari: “Mune chekudya here pano?” 42 Saka vakamupa nhindi yehove yakagochwa, 43 uye akaitambira, akadya ivo vachizviona.

44 Akabva ati kwavari: “Aya ndiwo mashoko angu andaikutaurirai pandakanga ndichiinemi,+ kuti zvinhu zvese zvakanyorwa nezvangu muMutemo waMozisi nemuVaprofita nemuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”+ 45 Akabva anyatsovhura pfungwa dzavo kuti vanzwisise zvairehwa neMagwaro,+ 46 uye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa: kuti Kristu aizotambura omuka kuvakafa pazuva rechitatu,+ 47 uye kuti, kutangira kuJerusarema,+ zita rake raizoshandiswa pakuparidza kuti vanhu vemarudzi ese+ vapfidze zvivi zvavo+ varegererwe. 48 Imi munofanira kuva zvapupu zvezvinhu izvi.+ 49 Uye inzwai! ndiri kukutumirai chakavimbiswa naBaba vangu. Asi imi, rambai muri muguta kusvikira mapfeka simba rinobva kumusoro.”+

50 Akabva afamba navo kusvika kuBhetani, akasimudza maoko ake, ndokuvakomborera. 51 Paakanga achivakomborera, akaparadzaniswa navo, akakwidzwa kudenga.+ 52 Vakamupfugamira, vakadzokera kuJerusarema vachifara chaizvo.+ 53 Uye vakaramba vari mutemberi vachirumbidza Mwari.+

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “wevanasikana vaAroni.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “kubvira mudumbu maamai vake chaimo.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “hapana chisingabviri kuna Mwari.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “mbeu.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “mununuri ane simba.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Nyanga.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “akasimba mumweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”

Kana kuti “vemunyika yese.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “Dangwe rese rechirume rinovhura chibereko.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “richabaya mweya wako.”

ChiGir., “kubvira paumhandara hwake.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “achivateerera.”

Kureva, Herodhi Andipasi. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “nzira yaMwari yekuponesa.”

Kana kuti “nemibhadharo yenyu.”

Kana kuti “Foshoro yake yekuurutsisa iri.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “panzvimbo yakakwirira kupfuura dzese yetemberi.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “akaporeswa.”

Kana kuti “kumuvhima.”

Kureva, Gungwa reGarireya.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “mweya.”

Kureva, kukweretesa pasina mubereko.

Kana kuti “muchisunungura.”

Kana kuti “muchasunungurwawo.”

ChiGir., “akaberekwa ari ega.”

Hwanyanza kana kuti banda chinhu chaigadzirirwa kutakurisa chitunha.

Kana kuti “zvakanaka.”

ChiGir., “vakaberekwa nevakadzi.”

Kana kuti “hunorevererwa.”

Kana kuti “nezvibereko zvahwo.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “zvakakura.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “kumakuva evanoyeukwa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Wakanga wava nenguva refu wakamubata.”

ChiGir., “akaberekwa ari ega.”

Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.

Kana kuti “Mweya wake wakadzoka.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “sirivha.”

Kana kuti “neimwe nguo yekuchinja.”

Kureva, Herodhi Andipasi. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “nemweya wake.”

Kana kuti “musakwazisa munhu muchimumbundira.”

Kana kuti “kuHadhesi!” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nezvinyavada.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiGir., “shoko rake.”

Kureva kuti rinofanira kukudzwa kana kuti kuremekedzwa sezvo riri dzvene.

Kana kuti “ane chikwereti nesu.”

Kana kuti “chinyavada.”

Iri izita rinopiwa Satani.

Kana kuti “petswanda yekuyeresa.”

Kana kuti “richinyatsoona; rakanaka.”

Kana kuti “uzere nechiedza.”

ChiGir., “rakaipa.”

Kureva, kugeza maererano netsika dzechitendero.

Kana kuti “ipai varombo zvipo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “zvakanakisisa.”

Kana kuti “nemakuva evanoyeukwa.”

Kana kuti “asina kuiswa micherechedzo.”

Kana kuti “chibvunzwe nezveropa.”

Kana kuti “netemberi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “nemaasarioni maviri.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

 Dzimwe shanduro dzinoti, “pamberi pemasinagogi.”

Kana kuti “ekuchiva.”

Kana kuti “ndoti kumweya wangu.”

Kana kuti “Mweya wangu, une.”

Kana kuti “mweya wako.”

Kana kuti “pemweya yenyu.”

Kana kuti “mweya unokosha.”

Kana kuti “hozi,” kureva imba inochengeterwa zvirimwa zvinenge zvakohwewa.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “mupe varombo zvipo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Aka kachipembenene kanodya machira.

ChiGir., “Sungai zviuno zvenyu.”

Kana kuti “achazvisunga muchiuno.”

Kubva kuma9:00 dzemanheru kusvika pakati peusiku.

Kubva pakati peusiku kusvika kuma3:00 dzeusiku.

Kana kuti “mukuru wevashandi vemumba.”

Kana kuti “pavashandi vake vemumba.”

Kana kuti “maererano nekuda kwake.”

ChiGir., “reputoni rako rekupedzisira.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiGir., “nemaseya matatu.” Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “zvipani zvishanu zvemombe.”

Kana kuti “mweya wake.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “akasasiya zvinhu.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “mateko aidyiwa.”

Kana kuti “nemukuru wevashandi vemumba.”

Kana kuti “Mabhati 100 emafuta.” Bhati rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “Makori 100 egorosi.” Kori uwandu hunozadza mudziyo wemarita 220. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “uchenjeri hunobatsira; ungwaru.”

ChiGir., “pachipfuva chaAbrahamu.”

Kana kuti “muHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “pachipfuva chake.”

Kana kuti “zvinogumbura.”

Kana kuti “agumbure mumwe.”

Kana kuti “mweya wake.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A3.

Kana kuti “kutenda kwakadaro.”

Kana kuti “tsitsi.”

Kana kuti “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mumuonde.”

Kana kuti “zvandakatorera vanhu ndichivapomera zvenhema.”

Maina rechiGiriki rairema magiramu 340 uye rainzi raikosha madrakema 100. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “apiwa umambo.”

ChiGir., “sirivha.”

ChiGir., “sirivha.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “vokuvharira.”

ChiGir., “musoro wekona.”

Kana kuti “Zvakarurama.”

Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “vemamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mumamiriro iwayo ezvinhu.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “zvakanakisisa.”

ChiGir., “mareputoni maviri.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “nekupandukirana.”

Kana kuti “muchawana mweya yenyu.”

Kureva, Jerusarema.

Kana kuti “mazuva ekutsiva.”

Kureva, marudzi asiri vaJudha.

Kureva, marudzi asiri vaJudha.

Kana kuti “kushumira vamwe.”

Kana kuti “kumushumira.”

Kana kuti “kukushumirai.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A3.

ChiGir., “Bvisai uyu pano.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva, kuma12:00 dzemasikati.

Kureva, kuma3:00 dzemasikati.

Kana kuti “simba rangu reupenyu.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “afema kekupedzisira.”

Kana kuti “muguva rekuyeukwa.”

Kana kuti “guva rekuyeukwa.”

ChiGir., “wemastadhiya 60.” Stadhiya rimwe chete rakanga rakaenzana nemamita 185. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Asi ndiwe wega muenzi muJerusarema asiri kuziva?”

Kana kuti “achinyatsotitsanangurira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe