MASHOKO AKANAKA AKANYORWA NAMATEU
1 Bhuku renhoroondo yaJesu* Kristu,* mwanakomana waDhavhidhi,+ mwanakomana waAbrahamu:+
Isaka akabereka Jakobho;+
Jakobho akabereka Judha+ nevakoma nevanin’ina vake;
3 Judha akabereka Perezi naZera,+ amai vavo vari Tamari;
Perezi akabereka Hezroni;+
Hezroni akabereka Ramu;+
4 Ramu akabereka Aminadhabhi;
Aminadhabhi akabereka Nashoni;+
Nashoni akabereka Sarimoni;
5 Sarimoni nemudzimai wake Rakabhi+ vakabereka Bhoazi;
Bhoazi nemudzimai wake Rute+ vakabereka Obhedhi;
Obhedhi akabereka Jese;+
Dhavhidhi nemudzimai waUriya vakabereka Soromoni;+
7 Soromoni akabereka Rehobhoamu;+
Rehobhoamu akabereka Abhija;
Abhija akabereka Asa;+
Jehoshafati akabereka Jehoramu;+
Jehoramu akabereka Uziya;
Jotamu akabereka Ahazi;+
Ahazi akabereka Hezekiya;+
10 Hezekiya akabereka Manase;+
Manase akabereka Amone;+
Amone akabereka Josiya;+
11 Josiya+ akabereka Jekoniya+ nevamwe vanakomana panguva yakatapwa vanhu vachiendeswa kuBhabhironi.+
12 Pashure pekutapwa kwevanhu vachiendeswa kuBhabhironi, Jekoniya akabereka Sheatiyeri;
Sheatiyeri akabereka Zerubhabheri;+
13 Zerubhabheri akabereka Abhiudhi;
Abhiudhi akabereka Eriyakimu;
Eriyakimu akabereka Azori;
14 Azori akabereka Zadhoki;
Zadhoki akabereka Akimu;
Akimu akabereka Eriudhi;
15 Eriudhi akabereka Eriyezari;
Eriyezari akabereka Matani;
Matani akabereka Jakobho;
16 Jakobho akabereka Josefa murume waMariya, uyo akabereka Jesu,+ anonzi Kristu.+
17 Saka zvizvarwa zvese kubvira pana Abrahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa 14; kubvira pana Dhavhidhi kusvikira pakatapwa vanhu vachiendeswa kuBhabhironi, zvizvarwa 14; kubvira pakatapwa vanhu vachiendeswa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu, zvizvarwa 14.
18 Asi izvi ndizvo zvakaitika pakuberekwa kwaJesu Kristu. Panguva yakanga yakavimbiswa amai vake Mariya kuroorwa naJosefa, vakawanikwa kuti vaiva nepamuviri pemweya mutsvene+ vasati vabatanidzwa. 19 Asi sezvo murume wake Josefa akanga akarurama uye asingadi kumunyadzisa, akada kumuramba pachivande.+ 20 Asi paakanga afungisisa zvese izvi, ngirozi yaJehovha* yakazviratidza kwaari kuhope, ichiti: “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuenda naMariya mudzimai wako kumba, nekuti pamuviri paainapo ndepemweya mutsvene.+ 21 Achabereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu,*+ nekuti achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”+ 22 Zvese izvi zvakaitika kuti zviya zvakanga zvataurwa naJehovha* achishandisa muprofita wake zvizadzike, paakati: 23 “Inzwai! Mhandara ichava nepamuviri uye ichabereka mwanakomana, yomutumidza kuti Emanueri,”+ zvinoreva kuti, “Mwari Anesu.”+
24 Josefa akabva amuka, akaita zvaakanga anzi aite nengirozi yaJehovha,* akaenda nemudzimai wake kumba. 25 Asi haana kurara naye kusvikira abereka mwanakomana,+ uye akamutumidza kuti Jesu.+
2 Pashure pekunge Jesu aberekwa muBhetrehema+ reJudhiya mumazuva aMambo Herodhi,*+ vazivi venyeredzi vekuMabvazuva vakabva vasvika kuJerusarema, 2 vachiti: “Aripiko iye akaberekwa ari mambo wevaJudha?+ Nekuti takaona nyeredzi yake patakanga tiri kuMabvazuva, uye tauya kuzomupfugamira.” 3 Achinzwa izvi, Mambo Herodhi akashushikana, pamwe chete neJerusarema rese. 4 Akaunganidza vatungamiriri vevapristi vese nevanyori vevanhu, ndokuvabvunza kwaizoberekerwa Kristu.* 5 Vakati kwaari: “KuBhetrehema+ reJudhiya, nekuti izvi ndizvo zvakanyorwa nemuprofita kuti: 6 ‘Uye iwe, Bhetrehema iri munyika yeJudha, haufaniri kuonekwa seguta risingakoshi pane vamwe vatungamiriri veJudha, nekuti mauri muchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu vaIsraeri.’”+
7 Herodhi akabva ashevedza vazivi venyeredzi pachivande, akanyatsobata chokwadi kwavari kuti nyeredzi yakanga yaonekwa nguvai. 8 Paakavatuma kuBhetrehema, akati: “Endai munonyatsotsvaga mwana wacho, uye kana mamuwana mudzoke, mundiudze kuitira kuti neniwo ndiende ndinomupfugamira.” 9 Pavakanga vaudzwa izvi namambo, vakaenda, uye nyeredzi yavakanga vaona pavakanga vari kuMabvazuva+ yakabva yatanga kuvatungamirira, kusvikira yamira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana wacho. 10 Pavakaona nyeredzi yacho, vakafara zvekufara zviya. 11 Uye pavakapinda mumba, vakaona mwana wacho aina amai vake Mariya, uye vakakotama vakamupfugamira. Vakasunungurawo pfuma yavo vakamupa zvipo zvinoti, goridhe, zvinonhuhwirira zvichena, nemura. 12 Asi vakadzokera kunyika yavo neimwe nzira, nekuti vakanga vanyeverwa naMwari kuhope+ kuti varege kudzokera kuna Herodhi.
13 Pashure pekunge vaenda, ngirozi yaJehovha* yakabva yazviratidza kuna Josefa kuhope,+ ichiti: “Simuka, tora mwana naamai vake utizire kuIjipiti, ugare ikoko kusvikira ndakuudza kuti udzoke, nekuti Herodhi ava kuda kutsvaga mwana kuti amuuraye.” 14 Saka Josefa akasimuka, akatora mwana wacho pamwe chete naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. 15 Akagara ikoko kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakazadzisa zvakanga zvataurwa naJehovha* achishandisa muprofita wake, achiti: “Ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti.”+
16 Herodhi paakaona kuti akanga anyengerwa nevazivi venyeredzi, akabva ashatirwa kwazvo, akatuma vanhu, akaita kuti vana vakomana vese vaiva muBhetrehema nemumaruwa aro ese vaurayiwe, kubvira pazera remakore maviri zvichidzika, maererano nenguva yaakanga abvunza vazivi venyeredzi.+ 17 Izvi zvakabva zvazadzisa zvakataurwa nekumuprofita Jeremiya paakati: 18 “Inzwi rakanzwika muRama, kuchema nekuridza mhere kukuru. NdiRakeri+ aichema vana vake, uye airamba kunyaradzwa, nekuti vakanga vasisipo.”+
19 Pakafa Herodhi, ngirozi yaJehovha* yakabva yazviratidza kuna Josefa kuhope+ muIjipiti, 20 ikati: “Simuka, tora mwana naamai vake, uende kunyika yeIsraeri, nekuti vaya vaitsvaga kuuraya mwana* vakafa.” 21 Saka akasimuka, akatora mwana wacho naamai vake, akapinda munyika yeIsraeri. 22 Asi paakanzwa kuti Akerausi ndiye akanga ava kutonga Judhiya panzvimbo pababa vake Herodhi, akatya kuenda ikoko. Uyewo sezvo Mwari akanga amunyevera kuhope,+ akaenda kunharaunda yeGarireya.+ 23 Uye akasvika, akagara muguta rinonzi Nazareta,+ kuti zvakataurwa nekuvaprofita zvizadziswe, zvekuti: “Achanzi muNazareta.”*+
3 Mumazuva iwayo Johani+ Mubhabhatidzi akauya achiparidza+ murenje* reJudhiya, 2 achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.”+ 3 Uyu ndiye wacho akataurwa nezvake nekumuprofita Isaya+ zvichinzi: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+ 4 Johani aipfeka chipfeko chemvere dzengamera uye aisunga bhandi reganda muchiuno.+ Zvekudya zvake zvakanga zviri mhashu neuchi hwemusango.+ 5 Vanhu vemuJerusarema neJudhiya yese nenyika yese yakapoteredza Jodhani vaibuda, vachienda kwaaiva,+ 6 uye vaibhabhatidzwa* naye muRwizi rwaJodhani,+ vachireurura zvivi zvavo pamberi pevanhu vese.
7 Paakaona vaFarisi nevaSadhusi+ vazhinji vachiuya kwaaibhabhatidzira, akati kwavari: “Imi vana venyoka,+ ndiani akakunyeverai kuti mutize hasha dziri kuuya?+ 8 Saka berekai zvibereko zvinoratidza kuti muri kupfidza zvivi zvenyu. 9 Musazvifurira muchiti, ‘Abrahamu ndiye baba vedu.’+ Nekuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kuita kuti matombo aya ave vana vaAbrahamu. 10 Demo ratova pamidzi yemiti. Muti wese usingabereki zvibereko zvakanaka unofanira kutemerwa pasi wokandwa mumoto.+ 11 Kana ndiri ini, ndinokubhabhatidzai nemvura nekuda kwekupfidza zvivi zvenyu,+ asi uyo ari kuuya pashure pangu akasimba kundipfuura, uye ane shangu dzandisina kukodzera kubvisa.+ Iyeye achakubhabhatidzai nemweya mutsvene+ uye nemoto.+ 12 Mudziyo wake wekuurutsisa uri* muruoko rwake, uye achanyatsochenesa buriro* rake, ounganidza gorosi rake achiisa mudura, asi achapisa hundi nemoto+ usingagoni kudzimwa.”
13 Jesu akabva kuGarireya akaenda kuJodhani kuna Johani, kuti anobhabhatidzwa naye.+ 14 Asi iye akaedza kumurambidza, achiti: “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, nei mava kuuya kwandiri?” 15 Jesu akamupindura achiti: “Panguva ino rega zviitike, nekuti nenzira iyi zvakakodzera kuti tiite zvese zvakarurama.” Haana kuzomurambidza. 16 Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye denga rakabva ravhurika,+ akaona mweya waMwari uchidzika wakaita senjiva uchiuya paari.+ 17 Ona! Inzwi rakabvawo kudenga+ rikati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu,+ anodiwa, wandafarira.”+
4 Jesu akabva atungamirirwa nemweya kuenda kurenje, kuti anoedzwa+ naDhiyabhorosi.+ 2 Pashure pekunge atsanya kwemazuva 40 neusiku 40, akanga ava nenzara. 3 Uye Muedzi+ akauya akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave chingwa.” 4 Asi akapindura kuti: “Zvakanyorwa kuti: ‘Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.’”*+
5 Dhiyabhorosi akabva aenda naye muguta dzvene,+ akamumisa pamusoro perusvingo rwetemberi,*+ 6 akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Acharayira ngirozi dzake pamusoro pako,’ uye, ‘Dzichakutakura mumaoko adzo, kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo.’”+ 7 Jesu akati kwaari: “Zvakare zvakanyorwa kuti: ‘Usaedza Jehovha* Mwari wako.’”+
8 Dhiyabhorosi akaendazve naye kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwese hwenyika nekubwinya kwahwo.+ 9 Uye akati kwaari: “Ndichakupa zvinhu zvese izvi kana ukapfugama wongondinamata kamwe chete.” 10 Jesu akabva ati kwaari: “Ibva, Satani! Nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Jehovha* Mwari wako ndiye waunofanira kunamata,+ uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’”+ 11 Dhiyabhorosi akabva amusiya,+ ngirozi dzikauya, dzikatanga kumushumira.+
12 Paakanzwa kuti Johani akanga asungwa,+ akabva munzvimbo iyoyo ndokuenda kuGarireya.+ 13 Achibva kuNazareta, akasvika akagara muKapenaume+ pedyo negungwa mumatunhu aZebhuroni neaNaftari, 14 kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita Isaya, uyo akati: 15 “Iwe nyika yaZebhuroni nenyika yaNaftari, munzira inoenda kugungwa, mhiri kwaJodhani, Garireya yemamwe marudzi! 16 Vanhu vanogara murima vakaona chiedza chikuru, uye vaya vanogara munharaunda yemumvuri werufu, vakavhenekerwa nechiedza.”+ 17 Kubvira panguva iyoyo, Jesu akatanga kuparidza, achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.”+
18 Paaifamba achitevedza Gungwa reGarireya, akaona mukoma nemunin’ina, Simoni, uyo anonzi Petro,+ naAndreya munin’ina wake, vachikanda mambure mugungwa, nekuti vaiva vabati vehove.+ 19 Uye akati kwavari: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.”+ 20 Vakabva vangosiya mambure avo, vakamutevera.+ 21 Achibva ipapo, akaona vamwe vaviri vaiva mukoma nemunin’ina, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nemunin’ina wake Johani.+ Vaiva muchikepe nababa vavo Zebhedhi, vachigadzira mambure avo, uye akavashevedza.+ 22 Vakabva vangosiya chikepe chacho nababa vavo, vakamutevera.
23 Akabva atenderera Garireya+ yese, achidzidzisa mumasinagogi+ avo nekuparidza mashoko akanaka eUmambo, achirapa zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese pakati pevanhu.+ 24 Siriya yese yakanzwa nezvake, uye vakamuunzira vanhu vese vaitambura nezvirwere zvakasiyana-siyana, nemarwadzo akasiyana-siyana,+ nevanhu vainge vakagarwa nemadhimoni,+ nevaiva nepfari,+ nevakanga vakaoma mutezo, uye akavarapa. 25 Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vamutevere vachibva kuGarireya, Dhekaporisi,* Jerusarema, neJudhiya uye vachibva mhiri kwaJodhani.
5 Paakaona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; uye agara pasi, vadzidzi vake vakauya kwaari. 2 Akabva ashama muromo wake akatanga kuvadzidzisa, achiti:
3 “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari,*+ nekuti Umambo hwekudenga ndehwavo.
4 “Vanofara vaya vanochema, nekuti vachanyaradzwa.+
5 “Vanofara vanyoro,+ nekuti vachagara nhaka yenyika.+
6 “Vanofara vaya vane nzara nenyota+ yekururama, nekuti vachagutiswa.+
7 “Vanofara vanonzwira vamwe tsitsi,+ nekuti vachanzwirwa tsitsi.
8 “Vanofara vakachena mumwoyo,+ nekuti vachaona Mwari.
9 “Vanofara vanoita kuti pave nerugare,*+ nekuti vachanzi vanakomana vaMwari.
10 “Vanofara vaya vakatambudzwa nekuda kwekururama,+ nekuti Umambo hwekudenga ndehwavo.
11 “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai+ nekukutambudzai+ uye vachikupomerai zvinhu zvakaipa zvakasiyana-siyana nekuda kwangu.+ 12 Farai mufarisise,+ nekuti mubayiro wenyu+ mukuru kudenga, nekuti ndiwo matambudziro avaiita vaprofita vakararama musati mavapo.+
13 “Imi muri munyu+ wenyika, asi kana munyu usisavaviri, kuvavira kwawo kuchadzorerwa sei? Hapana zvauchashandiswa kunze kwekuraswa kunze,+ wotsikwa-tsikwa nevanhu.
14 “Imi muri chiedza chenyika.+ Guta harigoni kuvanzwa kana riri pamusoro pegomo. 15 Vanhu havabatidzi rambi voriisa pasi petswanda,* asi vanoriisa pachigadziko cherambi, uye rinovhenekera vese vari mumba.+ 16 Saka nemiwo, chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu,+ kuti vaone mabasa enyu akanaka,+ vokudza Baba venyu vari kudenga.+
17 “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Mutemo kana kuti zvakanyorwa nevaprofita. Handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.+ 18 Chokwadi ndinoti kwamuri, denga nenyika zvingatopfuura pane kuti kabhii kamwe chete kadikidiki kana kuti kachikamu kebhii kadzimike paMutemo, zvinhu zvese zvisati zvaitika.+ 19 Saka munhu wese anotyora mumwe wemirayiro iyi midiki, odzidzisa vamwe kuita izvozvo, achanzi mudiki pakuva akakodzera Umambo hwekudenga. Asi wese anoita zvainotaura, oidzidzisa, achanzi mukuru pakuva akakodzera Umambo hwekudenga. 20 Nekuti ndinoti kwamuri kana kururama kwenyu kusingapfuuri kuya kwevanyori nevaFarisi,+ hamungambopindi muUmambo hwekudenga.+
21 “Makanzwa kuti vaya vemunguva yekare vakaudzwa kuti: ‘Usauraya,+ asi munhu wese anouraya achazvidavirira kudare rinotonga.’+ 22 Asi ini ndinoti kwamuri munhu wese anoramba akatsamwira+ hama yake achazvidavirira kudare rinotonga; uye munhu wese anoshevedza hama yake neshoko rekuzvidza risingatauriki achazvidavirira kuDare Repamusorosoro; asi munhu wese anoti, ‘Iwe zibenzi!’ achange akakodzera kupinda muGehena* remoto.+
23 “Saka kana uchiuya nechipo chako kuatari+ wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, 24 siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda. Tanga wayanana* nehama yako, wozodzoka wopa chipo chako.+
25 “Kurumidza kugadzirisa nyaya nemunhu akakumhan’arira, paunenge uinaye muchienda kudare, kuti pamwe munhu wacho angarega kukuisa kumutongi, uye mutongi okuisa kumushandi wemudare, ukakandwa mujeri.+ 26 Ndinokuudza chokwadi kuti haufi wakabuda imomo kusvikira waripa mari yako diki yekupedzisira.*
27 “Makanzwa kuti zvakanzi: ‘Usaita upombwe.’+ 28 Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wese anoramba akatarisa mukadzi+ zvekuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.+ 29 Saka kana ziso rako rekurudyi richiita kuti ugumburwe,* ribvise urirasire kure newe.+ Nekuti zviri nani kuti urasikirwe hako neimwe nhengo yako pane kuti muviri wako wese ukandwe muGehena.*+ 30 Uyewo, kana ruoko rwako rwerudyi ruchiita kuti ugumburwe,* rudimbure ururasire kure newe.+ Nekuti zviri nani kuti urasikirwe hako neimwe nhengo yako pane kuti muviri wako wese ukandwe muGehena.*+
31 “Zvakanziwo: ‘Munhu wese anoramba mudzimai wake, ngaamupe gwaro rekumuramba.’+ 32 Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wese anoramba mudzimai wake, ipo pasina upombwe* hwaitwa, anoita kuti pave nemukana wekuti mudzimai iyeye azoita upombwe, uye munhu wese anoroora mudzimai akarambwa anoita upombwe.+
33 “Makanzwawo kuti zvakanzi kune vemunguva yekare: ‘Usapika usingaiti,+ asi unofanira kuripa mhiko dzako kuna Jehovha.’*+ 34 Asi ini ndinoti kwamuri: Musatombopika,+ kana nedenga, nekuti iro chigaro cheumambo chaMwari; 35 kana nenyika, nekuti iyo chitsiko chetsoka dzake;+ kana neJerusarema, nekuti iguta raMambo mukuru.+ 36 Usapika nemusoro wako, nekuti haugoni kuchinja bvudzi rimwe chete kuti rive jena kana dema. 37 Shoko renyu rekuti ‘Hongu’ ngaringova hongu, ‘Kwete’ wenyu, kwete,+ nekuti zvinopfuura izvi zvinobva kune akaipa.+
38 “Makanzwa kuti zvakanzi: ‘Ziso rinotsiviwa neziso uye zino nezino.’+ 39 Asi ini ndinoti kwamuri: Musadzorera munhu akaipa, asi munhu wese anokurova mbama padama rako rekurudyi, mupewo rimwe racho.+ 40 Uye kana munhu achida kukuendesa kudare kuti akutorere nguo yako yemukati, murege atorewo nguo yako yekunze;+ 41 uye kana mumwe munhu ane masimba akakumanikidza kuti uite basa kwemaira* imwe chete, enda naye mamaira maviri. 42 Ipa anokukumbira, uye usapira gotsi munhu ari kuda chikwereti kwauri.*+
43 “Makanzwa kuti zvakanzi: ‘Ida muvakidzani wako+ uvenge muvengi wako.’ 44 Asi ini ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu+ uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai,+ 45 kuti muratidze kuti muri vanakomana vaBaba venyu vari kudenga,+ nekuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vanoita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.+ 46 Nekuti kana muchida vaya vanokudai, mune mubayiro wei?+ Izvi handizvo zviri kuitwawo nevateresi here? 47 Uye kana muchingokwazisa hama dzenyu chete, chii chamuri kuita chinoshamisa? Izvi handizvo zviri kuitwawo nevanhu vemamwe marudzi here? 48 Saka ivai vakakwana, saBaba venyu vekudenga vakakwana.+
6 “Chenjerai kuti murege kuita zvakarurama pamberi pevanhu muchida kuti vakuonei;+ kana mukadaro hamuzowani mubayiro kuna Baba venyu vari kudenga. 2 Saka paunopa zvipo zvengoni,* usaridza bhosvo sezvinoita vanyengeri mumasinagogi nemumigwagwa, kuti vakudzwe nevanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vawana mubayiro wavo wakakwana. 3 Asi iwe, paunopa zvipo zvengoni, usaita kuti ruoko rwako rweruboshwe ruzive zviri kuitwa neruoko rwako rwerudyi, 4 kuti zvipo zvako zvengoni zvive pakavanda. Baba vako vanoona vari pakavanda vachabva vakuripa.+
5 “Uyewo, pamunonyengetera, musaita sevanyengeri,+ nekuti vanoda kunyengetera vakamira mumasinagogi nepamharadzano dzemigwagwa mikuru kuti vaonekwe nevanhu.+ Chokwadi ndinoti kwamuri, vawana mubayiro wavo wakakwana. 6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako uvhare suo rako, wonyengetera kuna Baba vako vari pakavanda.+ Baba vako vanoona vari pakavanda vachabva vakuripa. 7 Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvimwe chetezvo, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nekuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekuda kwekutaura kwavo mashoko akawanda. 8 Saka musavatevedzera, nekuti Baba venyu vanoziva zvamunoda+ musati matombovakumbira.
9 “Saka munofanira kunyengetera seizvi:+
“‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu+ ngaritsveneswe.*+ 10 Umambo hwenyu+ ngahuuye. Kuda kwenyu+ ngakuitwe, panyika, sekudenga.+ 11 Tipei nhasi zvekudya zvedu zvanhasi;*+ 12 uye tiregerereiwo zvivi* zvedu, sezvatakaregererawo vakatitadzira.+ 13 Uye musatipinza mumuedzo,+ asi tinunurei pane akaipa.’+
14 “Nekuti kana muchiregerera vanhu vanokutadzirai, Baba venyu vekudenga vachakuregereraiwo;+ 15 asi kana musingaregereri vanhu vanokutadzirai, Baba venyu havazokuregerereiwo pamunotadza.+
16 “Pamunotsanya,+ regai kuva nezviso zvakasuruvara sevanyengeri, nekuti ivo vanoshatisa zviso zvavo* kuti vaonekwe nevanhu kuti vari kutsanya.+ Chokwadi ndinoti kwamuri, vawana mubayiro wavo wakakwana. 17 Asi iwe, paunenge uchitsanya, zora mafuta mumusoro uye geza kumeso, 18 kuti vanhu varege kuona kuti uri kutsanya, wongoonekwa naBaba vako chete vari pakavanda. Baba vako vanoona vari pakavanda vachabva vakuripa.
19 “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika,+ pane chitemamachira* nengura zvinodya uye pane mbavha dzinopaza dzoba. 20 Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga,+ kusina chitemamachira kana ngura zvinodya,+ uye kusina mbavha dzinopaza dzoba. 21 Nekuti pane pfuma yako, ndipo pachavawo nemwoyo wako.
22 “Rambi remuviri iziso.+ Saka kana ziso rako rakatarisa chinhu chimwe chete,* muviri wako wese uchava wakajeka.* 23 Asi kana ziso rako riine ruchiva,*+ muviri wako wese uchava nerima. Chokwadi kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iroro rakakura chaizvo!
24 “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nekuti anogona kuvenga mumwe oda mumwe wacho,+ kana kuti acharamba achida mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.+
25 “Saka ndinoti kwamuri: Regai kuzvidya mwoyo+ pamusoro peupenyu hwenyu* kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.+ Upenyu* hahukoshi kupfuura zvekudya here uye muviri haukoshi kupfuura zvipfeko here?+ 26 Nyatsocherechedzai shiri dzekudenga;+ hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzipa zvekudya. Hamukoshi kudzipfuura here? 27 Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti* rimwe chete paurefu hweupenyu hwake nekuzvidya mwoyo?+ 28 Uyewo, munozvidyirei mwoyo pamusoro pezvipfeko? Dzidzai kumaruva emusango, makuriro aanoita; haashandi, uyewo haaruki; 29 asi ndinokuudzai kuti kunyange Soromoni+ mukubwinya kwake kwese haana kumboshonga serimwe reaya. 30 Zvino kana aya ari iwo mapfekedzero anoita Mwari zvinhu zvinomera musango, zviripo nhasi, mangwana zvokandwa muchoto, angatadza here kutokupfekedzai kupfuura ipapo, imi vane kutenda kudiki? 31 Saka musambozvidya mwoyo+ muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana kuti, ‘Tichanweiko?’ kana kuti, ‘Tichapfekeiko?’+ 32 Nekuti mamwe marudzi ari kutsvagisisa zvinhu zvese izvi. Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvese izvi.
33 “Saka rambai muchitanga kutsvaga Umambo nekururama kwake, uye zvimwe zvinhu zvese izvi zvichawedzerwa kwamuri.+ 34 Saka musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera,+ nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.
7 “Regai kutonga+ kuti murege kutongwawo; 2 nekuti matongero amuri kuita vamwe, ndiwo matongerwo amuchaitwawo,+ uye chiyereso chamuri kuyera nacho, ndicho chavachakuyereraiwo nacho.+ 3 Saka unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingaoni danda riri muziso rako?+ 4 Kana kuti ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ iwe uine danda muziso rako? 5 Munyengeri! Tanga wabvisa danda muziso rako, uye uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.
6 “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, kana kukandira nguruve maparera enyu,+ kuti dzirege kuzoatsika-tsika netsoka dzadzo dzotendeuka dzokubvamburai.
7 “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa;+ rambai muchitsvaga, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa;+ 8 nekuti munhu wese anokumbira anopiwa,+ uye munhu wese anotsvaga anowana, uye munhu wese anogogodza achazarurirwa. 9 Chokwadi ndiani pakati penyu anoti kana mwanakomana wake akakumbira chingwa omupa dombo? 10 Kana kuti akakumbira hove, angamupa nyoka here? 11 Saka kana imi, kunyange zvazvo makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, ko kuzoti Baba venyu vari kudenga, vangatadza here kupa zvinhu zvakanaka+ kune vaya vanovakumbira?+
12 “Saka zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.+ Izvi ndizvo chaizvo zvinorehwa neMutemo neVaprofita.+
13 “Pindai nepagedhi rakamanikana,+ nekuti gedhi rakafara nemugwagwa wakapamhama, zvinoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndimo mavari kupinda namo; 14 asi gedhi rakamanikana nemugwagwa wakatetepa, zvinoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vari kuuwana.+
15 “Chenjererai vaprofita venhema+ vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai,+ asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.+ 16 Muchavaziva nemichero yavanobereka. Vanhu vanombotemha mazambiringa paminzwa kana maonde pamasora anobaya here?+ 17 Saka muti wese wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wese wakaipa unobereka michero isingabatsiri.+ 18 Muti wakanaka haugoni kubereka michero isingabatsiri, uyewo muti wakaipa haugoni kubereka michero yakanaka.+ 19 Muti wese usingabereki michero yakanaka unotemerwa pasi wokandwa mumoto.+ 20 Saka muchaziva vanhu ivavo nemichero yavanobereka.+
21 “Haasi munhu wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muUmambo hwekudenga, asi uya chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.+ 22 Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri: ‘Ishe, Ishe,+ hatina here kuprofita muzita renyu, nekudzinga madhimoni muzita renyu, nekuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu?’+ 23 Ini ndichabva ndati kwavari: ‘Handina kumbobvira ndakuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo!’+
24 “Saka munhu wese anonzwa mashoko angu aya oatevedzera achafanana nemurume akangwara, akavakira imba yake paruware.+ 25 Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo nesimba, asi haina kuwa, nekuti yakanga yakavakirwa paruware. 26 Uyezve, munhu wese anonzwa mashoko angu aya asingaatevedzeri, achafanana nemurume akapusa akavakira imba yake pajecha.+ 27 Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo,+ ikawa, uye yakawondomoka zvachose.”
28 Jesu paakapedza kutaura izvi, vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake,+ 29 nekuti akanga achivadzidzisa semunhu ane chiremera,+ kwete sevanyori vavo.
8 Paakaburuka mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera. 2 Uye mumwe murume aiva nemaperembudzi akabva auya ndokumupfugamira, achiti: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”+ 3 Saka akatambanudza ruoko rwake, akamubata, achiti: “Ndinoda! Cheneswa.”+ Akabva angocheneswa pamaperembudzi ake.+ 4 Jesu akabva ati kwaari: “Uve nechokwadi kuti hauudze mumwe munhu,+ asi enda unozviratidza kumupristi,+ wopa chipo chakarayirwa naMozisi,+ kuti zvive uchapupu kwavari.”
5 Paakapinda muKapenaume, mumwe mukuru weuto akauya kwaari akamuteterera+ 6 achiti: “Ishe, muranda wangu akaoma mutezo uye akarara mumba, achirwadziwa zvikuru.” 7 Iye akati kwaari: “Kana ndasvika ikoko ndichamurapa.” 8 Mukuru weuto akapindura achiti: “Ishe, handina kukodzera kuti mupinde mumba mangu, asi ingotaurai shoko muranda wangu obva aporeswa. 9 Nekuti neniwo ndiri pasi pevamwe, ndiine varwi vari pasi pangu, uye ndinoti kune uyu, ‘Enda!’ uye anoenda, uye kune mumwe, ‘Uya!’ uye anouya, uye kumuranda wangu, ‘Ita izvi!’ uye anozviita.” 10 Jesu paakanzwa izvozvo akashamiswa akati kune vaya vakanga vachimutevera: “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndambowana munhu ane kutenda kwakakura kudai muIsraeri.+ 11 Asi ndinokuudzai kuti vazhinji vanobva kumabvazuva nekumavirira vachauya vogara patafura naAbrahamu naIsaka naJakobho muUmambo hwekudenga,+ 12 vanakomana veUmambo vachikandwa kunze murima. Imomo ndimo mavachachema vari vachirumanisa mazino.”+ 13 Jesu akabva ati kumukuru wacho weuto: “Enda zvako. Waratidza kuti une kutenda, saka ngazviitike kwauri.”+ Muranda wacho akabva aporeswa panguva iyoyo chaiyo.+
14 Uye Jesu paakapinda mumba maPetro, akaona amai vemudzimai wake+ varere vachirwara nefivha.+ 15 Saka akavabata ruoko,+ fivha ikapera, uye vakasimuka vakatanga kumugadzirira zvekudya. 16 Asi ava manheru, vanhu vakauya kwaari nevanhu vazhinji vakanga vakagarwa nemadhimoni; uye akadzinga mweya yacho neshoko, uye akarapa vese vairwara, 17 kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita Isaya kuti: “Iye akatora zvirwere zvedu, uye akatakura matenda edu.”+
18 Jesu paakaona kuti akanga apoteredzwa nevanhu vazhinji, akataura kuti vabvepo vayambuke mhiri.+ 19 Uye mumwe munyori akauya kwaari akati: “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda.”+ 20 Asi Jesu akati kwaari: “Makava ane mwena yaanogara uye shiri dzekudenga dzine matendere, asi Mwanakomana wemunhu haana pekuisa musoro wake.”+ 21 Mumwe wevadzidzi akabva ati kwaari: “Ishe, ndibvumirei kuti nditange ndaenda kunoviga baba vangu.”+ 22 Jesu akati kwaari: “Ramba uchinditevera, uye rega vakafa vavige vakafa vavo.”+
23 Uye paakakwira chikepe, vadzidzi vake vakamutevera.+ 24 Dutu guru rakabva ratanga mugungwa, zvekuti chikepe chakanga chava kufukidzwa nemasaisai; asi iye akanga akarara.+ 25 Vakabva vauya kuzomumutsa, vachiti: “Ishe, tiponesei, tava kufa!” 26 Asi iye akati kwavari: “Muri kutyeiko, imi mune kutenda kudiki?”+ Akabva amuka, akatsiura mhepo negungwa, kukabva kwadzikama zvikuru.+ 27 Saka varume vacho vakashamiswa, vakati: “Uyu munhu werudzii? Kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera.”
28 Paakasvika mhiri, munharaunda yevaGadhara, varume vaviri vakanga vakagarwa nemadhimoni vakauya kuzosangana naye vachibva kumakuva.*+ Vaityisa kwazvo, zvekuti hapana aishinga kupfuura nemugwagwa iwoyo. 29 Vakabva vatanga kuzhamba vachiti: “Munei nesu imi Mwanakomana waMwari?+ Mauya kuno kuzotirwadzisa+ nguva yacho isati yasvika here?”+ 30 Nechekure nepavaiva, kwaiva neboka renguruve raifudzwa.+ 31 Saka madhimoni acho akatanga kumuteterera, achiti: “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”+ 32 Iye akabva ati kwaari: “Endai!” Paakangonzarwo akabuda akanopinda munguruve, uye dzese dzakadaro dzakabva dzamhanya nepamawere dzikapinda mugungwa dzikafiramo. 33 Asi vafudzi vacho vakatiza vakapinda muguta, ndokunotaura zvese zvakanga zvaitika, kusanganisira nyaya yevarume vaya vaiva nemadhimoni. 34 Guta rese rakabva rabuda kuzosangana naJesu, uye pavakamuona, vakamuteterera kuti abve munharaunda yavo.+
9 Saka akakwira chikepe, akayambuka, akapinda muguta rekwake.+ 2 Uye vakabva vamuunzira munhu akaoma mutezo akarara pamubhedha. Paakaona kutenda kwavo, Jesu akati kumunhu akanga akaoma mutezo: “Shinga, mwanangu! Zvivi zvako zvaregererwa.”+ 3 Vamwe vanyori vakabva vatanga kutaurirana vachiti: “Munhu uyu ari kumhura.” 4 Jesu, achiziva zvavaifunga, akati: “Muri kufungirei zvinhu zvakaipa mumwoyo menyu?+ 5 Munofunga kuti ndezvipi zviri nyore, kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?+ 6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba rekuregerera zvivi panyika—” akabva ati kune uya akanga akaoma mutezo: “Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.”+ 7 Akabva asimuka akaenda kumba kwake. 8 Vanhu vazhinji pavakaona izvi, vakabatwa nekutya, vakakudza Mwari, uyo akapa simba rakadaro kuvanhu.
9 Achibva ipapo, Jesu akaona mumwe murume ainzi Mateu akagara pahofisi yemutero, akati kwaari: “Iva muteveri wangu.” Akabva angosimuka akamutevera.+ 10 Gare gare, paakanga achidya ari mumba, vateresi vazhinji nevatadzi vakabva vauya, vakatanga kudya naJesu nevadzidzi vake.+ 11 Asi vaFarisi pavakaona izvi, vakati kuvadzidzi vake: “Nei mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?”+ 12 Achivanzwa, iye akati: “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.+ 13 Saka endai, munodzidza kuti zvinorevei kuti: ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’+ Nekuti handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.”
14 Vadzidzi vaJohani vakabva vauya kwaari, vakabvunza kuti: “Nei isu nevaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?”+ 15 Jesu akabva ati kwavari: “Shamwari dzemurume ari kuroora dzingachema here idzo dzichiinaye?+ Asi mazuva achauya padzichatorerwa murume wacho,+ uye dzichabva dzatsanya. 16 Hapana munhu anosonera chigamba chejira idzva panguo yekunze tsaru, nekuti chigamba chacho chinobva chabvarura nguo yacho, pakabvaruka pacho powedzera.+ 17 Uyewo vanhu havaisi waini itsva muhomwe dzematehwe tsaru. Kana vakadaro, homwe dzematehwe dzewaini dzinobva dzabvaruka waini yorasika uye homwe dzacho dzematehwe dzoparara. Asi vanhu vanoisa waini itsva muhomwe dzematehwe itsva, uye zvese zviri zviviri zvinochengeteka.”
18 Paakanga achivaudza zvinhu izvi, mumwe mutongi akanga asvika akabva amupfugamira, achiti: “Kutaura kuno mwanasikana wangu anofanira kunge atofa, asi uyai muise ruoko rwenyu paari, uye achavazve mupenyu.”+
19 Jesu akabva asimuka, ndokumutevera aine vadzidzi vake. 20 Uye mumwe mukadzi akanga achitambura nekubuda ropa kwemakore 12+ akauya nechekumashure kwake, akabata masa* enguo yake yekunze,+ 21 nekuti aingoti nechemumwoyo: “Kana ndikangobata nguo yake yekunze, ndichapora.” 22 Jesu akatendeuka, uye achimuona, akati: “Shinga, mwanasikana! Kutenda kwako kwakuporesa.”+ Kubvira panguva iyoyo mukadzi wacho akaporeswa.+
23 Paakazopinda mumba memutongi wacho, achiona vanhu vairidza nyere uye vanhu vakawanda vaiita mheremhere,+ 24 Jesu akati: “Budai muno, nekuti musikana haana kufa, asi akarara.”+ Vakabva vatanga kumuseka zvekutsvinya. 25 Vanhu pavakangobudiswa panze, akapinda ndokubata ruoko rwake,+ musikana wacho akamuka.+ 26 Nyaya iyi yakapararira munharaunda yacho yese.
27 Jesu paaibva ipapo, varume vaviri vaiva mapofu+ vakamutevera, vachishevedzera vachiti: “Tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi.” 28 Paakanga apinda mumba, varume vacho vakauya kwaari, Jesu akavabvunza kuti: “Munotenda here kuti ndinogona kuita izvi?”+ Vakamupindura vachiti: “Hongu, Ishe.” 29 Akabva abata maziso avo,+ achiti: “Ngazviitike kwamuri maererano nekutenda kwenyu.” 30 Maziso avo akatanga kuona. Jesu akavayambira zvakasimba, achiti: “Ivai nechokwadi chekuti hapana munhu anozozviziva.”+ 31 Asi pavakabuda panze, vakaudza vanhu nezvake munharaunda yacho yese.
32 Pavakanga vava kuenda, vanhu vakabva vamuunzira mumwe murume aiva mbeveve akanga akagarwa nedhimoni;+ 33 uye dhimoni racho parakadzingwa, murume uya aiva mbeveve akatanga kutaura.+ Vanhu vazhinji vakashamiswa, vakati: “Zvinhu zvakadai hazvina kumboonekwa muIsraeri.”+ 34 Asi vaFarisi vaiti: “Anodzinga madhimoni achishandisa mutongi wemadhimoni.”+
35 Jesu akatanga kushanyira maguta ese nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nekuparidza mashoko akanaka eUmambo achirapa zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese.+ 36 Achiona vanhu vazhinji, akasiririswa navo,+ nekuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi.+ 37 Akabva ati kuvadzidzi vake: “Kukohwa kukuru zvechokwadi, asi vashandi vashoma.+ 38 Saka kumbirai Tenzi wekukohwa kuti atumire vashandi vanoita basa rake rekukohwa.”+
10 Saka akashevedza vadzidzi vake 12, akavapa simba pamusoro pemweya isina kuchena,+ kuti vaidzinge uye kuti varape zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese.
2 Mazita evaapostora vacho 12 ndeaya:+ Wekutanga, Simoni, uya ainzi Petro,+ naAndreya+ munin’ina wake; Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohani+ munin’ina wake; 3 Firipi naBhatoromeyo;+ Tomasi+ naMateu+ muteresi; Jakobho mwanakomana waArifiyosi; uye Tadhiyosi; 4 Simoni muKenani;* naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.+
5 Jesu akatuma 12 ava, achivapa mirayiro iyi:+ “Musapinda mumugwagwa wemamwe marudzi, uye hapana guta revaSamariya ramunofanira kupinda;+ 6 asi rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.+ 7 Pamunenge muchienda, paridzai muchiti: ‘Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.’+ 8 Rapai vanorwara,+ mutsai vakafa, chenesai vane maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena. 9 Musatora goridhe kana sirivha kana mhangura yekuisa mumabhandi enyu ekuisira mari,+ 10 kana homwe yekuisira zvekudya, kana nguo mbiri, kana shangu, kana mudonzvo,+ nekuti mushandi akakodzera kuwana zvekudya zvake.+
11 “Muguta rese kana musha wamunopinda, tsvagai imomo munhu akakodzera, mugare mumba make kusvikira mabvamo.+ 12 Kana mapinda mumba, kwazisai vanhu vemo. 13 Kana imba yacho yakakodzera, rugare rwamunoda kuti ive narwo ngaruuye pairi;+ asi kana isina kukodzera, rugare runobva kwamuri ngarudzokere kwamuri. 14 Kwese kusina munhu anokugamuchirai kana anoteerera mashoko enyu, pamunobuda mumba imomo kana muguta iroro, zunzai guruva riri patsoka dzenyu.+ 15 Chokwadi ndinoti kwamuri, zvichaitika kunyika yeSodhomu neGomora+ paZuva Rekutongwa zviri nani pane zvichaitika kuguta iroro.
16 “Onai! Ndiri kukutumai semakwai ari pakati pemhumhi; saka ivai vakachenjera senyoka asi musina mhosva senjiva.+ 17 Chenjererai vanhu, nekuti vachakuendesai kumatare ekwamunogara+ uye vachakurovai zvakasimba+ mumasinagogi avo.+ 18 Uye muchaendeswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo+ nekuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari nekune mamwe marudzi.+ 19 Asi pavanokuendesai kumatare, musazvidya mwoyo nezvematauriro amuchaita kana kuti nezvezvamuchataura, nekuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva yacho iyoyo;+ 20 nekuti hamusi imi mega munenge muchitaura, asi mweya waBaba venyu ndiwo uchange uchitaura uchikushandisai.+ 21 Uyezve, mukoma achaita kuti munin’ina aurayiwe, baba vachiurayisa mwana wavo, uye vana vachapandukira vabereki vavo, vachivaurayisa.+ 22 Uye muchavengwa nevanhu vese nekuda kwezita rangu,+ asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.+ 23 Pavanokutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe;+ nekuti chokwadi ndinoti kwamuri, hamungambopedzi kutenderera maguta aIsraeri Mwanakomana wemunhu asati asvika.
24 “Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, uyewo muranda haapfuuri tenzi wake.+ 25 Mudzidzi anongokwanisa kusvika pane mudzidzisi wake, uye muranda pana tenzi wake.+ Kana vanhu vakatumidza tenzi weimba kuti Bherizebhubhu,*+ ko kuzoti veimba yake? 26 Saka musavatya, nekuti hapana chinhu chakafukidzwa chisingazofukurwi, uye chakavanzwa chisingazozivikanwi.+ 27 Zvandinokuudzai murima, taurai muchiedza, uye zvamunonzwa zvichiitwa zevezeve, paridzai muri pamusoro pedzimba.+ 28 Uye musatya vaya vanouraya muviri vasingagoni kuuraya mweya;*+ asi ityai iye anogona kuparadza mweya nemuviri muGehena.*+ 29 Tushiri tuviri tunotengeswa nemari isinganyanyi kukosha,* handizvo here? Asi hapana kana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi.+ 30 Asi kunyange bvudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. 31 Saka musatya; munokosha kupfuura tushiri twakawanda.+
32 “Saka munhu wese anobvuma kuti anondiziva pamberi pevanhu,+ iniwo ndichabvuma kuti ndinomuziva pamberi paBaba vangu vari kudenga.+ 33 Asi munhu wese anondiramba pamberi pevanhu, iniwo ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.+ 34 Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika; handina kuuya kuzounza rugare, asi bakatwa.+ 35 Nekuti ndakauya kuzoita kuti pave nekupesana, pakati pemwanakomana nababa vake, mwanasikana naamai vake, uye muroora navamwene vake.+ 36 Chokwadi, vavengi vemunhu vachava vaya vemumba make. 37 Munhu wese anoda baba kana amai kupfuura ini, haana kukodzera ini; uye munhu wese anoda mwanakomana kana mwanasikana kupfuura ini, haana kukodzera ini.+ 38 Uye munhu wese asingagamuchiri danda rake rekutambudzirwa* onditevera haana kukodzera ini.+ 39 Munhu wese anowana mweya wake* acharasikirwa nawo, uye munhu wese anorasikirwa nemweya wake* nekuda kwangu achauwana.+
40 “Munhu wese anokugamuchirai anondigamuchirawo, uye wese anondigamuchira anogamuchirawo iye akandituma.+ 41 Munhu wese anogamuchira muprofita nekuti muprofita achawana mubayiro wemuprofita,+ uye wese anogamuchira munhu akarurama nekuti munhu akarurama achawana mubayiro wemunhu akarurama. 42 Uye munhu wese anopa mumwe wevadiki ava kapu imwe chete yemvura inotonhorera kuti anwe nekuti iye mudzidzi, chokwadi ndinokuudzai, haazomborasikirwi nemubayiro wake.”+
11 Jesu paakanga apedza kurayira vadzidzi vake 12, akabva ipapo akaenda kunodzidzisa nekuparidza mumaguta avo.+
2 Asi Johani paakanzwa ari mujeri+ nezvemabasa aKristu, akatumira vadzidzi vake+ 3 kunomubvunza kuti: “Ndimi here uya akanzi Anouya, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?”+ 4 Jesu akavapindura achiti: “Endai munoudza Johani zvamuri kunzwa nekuona, zvekuti:+ 5 Mapofu ava kuona,+ vanokamhina vava kufamba zvakanaka, vane maperembudzi+ vari kucheneswa uye matsi dzava kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.+ 6 Anofara munhu asingawani chinomugumbura pandiri.”+
7 Ava pavakanga vachienda, Jesu akatanga kubvunza vanhu nezvaJohani achiti: “Pamakabuda muchienda kurenje maienda kunoonei?+ Tsanga yaizununguswa nemhepo here?+ 8 Saka makaenda kunoonei? Munhu akapfeka zvipfeko zvakapfavirira* here? Nekuti vaya vanopfeka zvipfeko zvakapfavirira vari mudzimba dzemadzimambo. 9 Saka makaenda kunoiteiko? Kunoona muprofita here? Chokwadi, ndinokuudzai, anotopfuura muprofita.+ 10 Uyu ndiye akanyorwa nezvake kuti: ‘Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu ichafanokugadzirira nzira pamberi pako!’+ 11 Chokwadi ndinoti kwamuri, pavanhu vese vakararama* hapana kumbova nemukuru kuna Johani Mubhabhatidzi, asi mudiki kune vamwe vese muUmambo hwekudenga mukuru kwaari.+ 12 Kubvira mumazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira iye zvino, Umambo hwekudenga ndihwo chinangwa chiri kuvavarirwa nevanhu, uye vaya vari kuhuvavarira vari kuhuwana.+ 13 Nekuti Vaprofita vese neMutemo, vakaprofita kusvikira pana Johani;+ 14 uye kana muchida kuzvibvuma, ndiye ‘Eriya anofanira kuuya.’+ 15 Ane nzeve ngaanzwe.
16 “Chizvarwa chino ndingachifananidza naani?+ Chakafanana nevana vadiki vakagara mumisika vanoshevedzera kuvamwe vavo vavari kutamba navo 17 vachiti: ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takaridza mhere, asi hamuna kuzvirova neshungu.’ 18 Saizvozvowo, Johani akauya asingadyi kana kunwa, asi vanhu vanoti, ‘Ane dhimoni.’ 19 Mwanakomana wemunhu akauya achidya uye achinwa,+ asi vanhu vanoti, ‘Onai! Munhu anokara uye anonwisa waini, shamwari yevateresi nevatadzi.’+ Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama* nemabasa ahwo.”*+
20 Akabva atanga kutsoropodza maguta aakanga aitira mabasa ake esimba akawanda, nekuti vakanga vasina kupfidza zvivi zvavo: 21 “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! nekuti dai mabasa esimba akaitika mamuri akanga aitika muTire neSidhoni, maguta aya angadai akapfidza zvivi zvawo kare kare akapfeka masaga nekuzora madota.+ 22 Asi ndinoti kwamuri, zvichaitika kuTire neSidhoni paZuva Rekutongwa zviri nani pane zvichaitika kwamuri.+ 23 Uye iwe, Kapenaume,+ uri kuti uchakwidziridzwa kudenga here? Uchadzika kuGuva;*+ nekuti dai mabasa esimba akaitika mauri akanga aitika muSodhomu, ingadai yakaramba iripo nanhasi. 24 Asi ndinoti kwauri, zvichaitika kunyika yeSodhomu paZuva Rekutongwa zviri nani pane zvichaitika kwauri.”+
25 Panguva iyoyo Jesu akabva ati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nekuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vana vadiki.+ 26 Hongu, Baba, nekuti izvi ndizvo zvakakufadzai. 27 “Zvinhu zvese zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu,+ uye hapana anonyatsoziva Mwanakomana kunze kwaBaba;+ uyewo hapana anonyatsoziva Baba kunze kweMwanakomana nemunhu wese uyo Mwanakomana anenge achida kuratidza zvavakaita.+ 28 Uyai kwandiri, imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. 29 Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa,+ uye muchawana zororo.* 30 Nekuti joko rangu riri nyore kutakura uye mutoro wangu wakareruka.”
12 Panguva iyoyo Jesu akapfuura nemuminda yezviyo* paSabata. Vadzidzi vake vakatanga kunzwa nzara, ndokutanga kutemha hura dzezviyo vachidya.+ 2 VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari: “Ona! Vadzidzi vako vari kuita zvisingabvumirwi nemutemo paSabata.”+ 3 Akati kwavari: “Hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi nevarume vaaiva navo pavakanzwa nzara?+ 4 Mapindiro aakaita muimba yaMwari, vakadya chingwa chekuratidza,+ chakanga chisingabvumirwi nemutemo kuti iye kana vaakanga ainavo vadye, kunze kwevapristi chete?+ 5 Kana kuti hamuna kuverenga here muMutemo kuti pamaSabata vapristi vari mutemberi vanotyora mutemo weSabata asi vasina mhosva yavanopiwa?+ 6 Asi ndinokuudzai kuti chimwe chinhu chikuru kupfuura temberi chiri pano.+ 7 Asi kudai manga muchinzwisisa kuti zvinorevei kuti ‘Ndinoda ngoni,+ kwete chibayiro,’+ maisazopa mhosva vanhu vasina mhosva. 8 Nekuti Mwanakomana wemunhu ndiye Ishe weSabata.”+
9 Abva ipapo, akapinda musinagogi ravo, 10 uye paiva nemumwe murume aiva neruoko rwakakokonyara.+ Saka vakamubvunza kuti, “Zvinobvumirwa nemutemo here kurapa paSabata?” vachida kumuwanira mhosva.+ 11 Akati kwavari: “Kana muine gwai rimwe chete uye gwai racho rikawira mugomba paSabata, ndiani pakati penyu angarega kuribata oribudisa?+ 12 Munhu anokosha kupfuura gwai nekure! Saka zvinobvumirwa nemutemo kuita chinhu chakanaka paSabata.” 13 Akabva ati kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, rukabva rwanaka serumwe rwacho. 14 Asi vaFarisi vakabuda panze, vakatanga kurangana kumuuraya. 15 Aziva izvi, Jesu akabva ipapo. Vazhinji vakamuteverawo,+ uye akavarapa vese, 16 asi akavaudza kuti vasatomboita kuti azivikanwe,+ 17 kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita Isaya, uyo akati:
18 “Onai! Mushumiri wangu+ wandakasarudza, wandinoda, wandakafarira!*+ Ndichaisa mweya wangu paari,+ uye achabudisa pachena kumarudzi kuti kutonga zvakarurama kuita sei. 19 Haazopopoti,+ kana kushevedzera, uyewo hapana munhu achanzwa inzwi rake mumigwagwa mikuru. 20 Hapana tsanga yakasvuuka yaachapwanya, uye hapana tambo inopfungaira yaachadzima,+ kusvikira abudirira kuunza kururama. 21 Chokwadi, marudzi achava netariro muzita rake.”+
22 Vakabva vamuunzira murume akanga akagarwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye akamurapa, zvekuti murume wacho aiva mbeveve akatanga kutaura nekuona. 23 Vanhu vese vakashamiswa kwazvo vakatanga kuti: “Kuti haangavi iye Mwanakomana waDhavhidhi here?” 24 Vachinzwa izvi, vaFarisi vakati: “Munhu uyu hapana chimwe chaanoshandisa kudzinga madhimoni kunze kwaBherizebhubhu,* mutongi wemadhimoni.”+ 25 Achiziva zvavaifunga, iye akati kwavari: “Umambo hwese hwakapesana hunoparara, uye guta rese kana imba yakapesana haizomiri. 26 Zvino kana Satani achidzinga Satani, anenge achizvirwisa; saka umambo hwake hucharamba sei hwakamira? 27 Zvakare, kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu, vanakomana venyu vanoadzinga vachishandisa ani? Ndokusaka vachizova vatongi venyu. 28 Asi kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa mweya waMwari, chokwadi Umambo hwaMwari hwakusvikirai.+ 29 Kana kuti munhu angapinda sei nechisimba mumba memunhu akasimba omutorera zvinhu zvake, asina kutanga asunga munhu wacho akasimba? Kana adaro, ndipo chete paanozokwanisa kupamba zvinhu zvake. 30 Munhu wese asiri kudivi rangu anorwisana neni, uye wese asingaunganidzi neni anoparadzira.+
31 “Nekuda kwechikonzero ichi ndinoti kwamuri, zvivi zvemarudzi ese nekumhura zvichakanganwirwa vanhu, asi kumhura mweya hakuzokanganwirwi.+ 32 Semuenzaniso, munhu wese anotaura zvakaipa nezveMwanakomana wemunhu, achakanganwirwa;+ asi munhu wese anotaura zvakaipa nezvemweya mutsvene, haazokanganwirwi, aiwa, kwete mumamiriro ano ezvinhu* kana mune aya anouya.+
33 “Munogona kuita kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ive yakanaka kana kuti muti uve wakaipa uye michero yawo ive yakaipa, nekuti muti unozivikanwa nemichero yawo.+ 34 Vana venyoka,+ mungataura sei zvinhu zvakanaka imi makaipa? Nekuti muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.+ 35 Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka, asi munhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa.+ 36 Ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira+ paZuva Rekutongwa pamusoro peshoko rese risingabatsiri ravanotaura; 37 nekuti uchanzi wakarurama nemashoko ako, kana kuti uchapiwa mhosva nemashoko ako.”
38 Vamwe vevanyori nevaFarisi vachimupindura, vakabva vati: “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chinobva kwamuri.”+ 39 Akavapindura kuti: “Chizvarwa chakaipa uye cheupombwe* chinoramba chichitsvaga chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chemuprofita Jona.+ 40 Nekuti sezvakangoita Jona kuti aiva mudumbu rehove huru kwemazuva matatu neusiku hutatu,+ Mwanakomana wemunhu achavawo mumwoyo wenyika kwemazuva matatu neusiku hutatu.+ 41 Vanhu vekuNinivhi vachamuka pakutongwa nechizvarwa chino uye vachachipa mhosva, nekuti vakapfidza zvivi zvavo pavakaparidzirwa naJona.+ Asi onai! mumwe munhu anopfuura Jona ari pano.+ 42 Mambokadzi wekumaodzanyemba achamutswa pakutongwa pamwe chete nechizvarwa chino uye acharatidza kuti chine mhosva, nekuti akabva pasi kwenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni.+ Asi onai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.+
43 “Mweya usina kuchena paunobuda mumunhu, unopfuura nemunzvimbo dzisina mvura uchitsvaga pekuzororera, wopashaya.+ 44 Unobva wati, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva,’ uye uchisvika, unowana imba yacho isingagarwi asi yakanyatsotsvairwa uye yakashongedzwa. 45 Unobva waenda wonotora mimwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, uye kana yapinda mukati, inogara imomo; uye munhu iyeye anopedzisira aipa kupfuura zvaaiva pakutanga.+ Ndizvo zvazvichaitawo nechizvarwa chino chakaipa.”
46 Achiri kutaura nevanhu, amai vake nevanin’ina vake+ vakanga vakamira panze, vachida kutaura naye.+ 47 Saka mumwe munhu akati kwaari: “Ona! Amai vako nevanin’ina vako vakamira panze; vari kuda kutaura newe.” 48 Akapindura munhu akanga amuudza izvozvo achiti: “Amai vangu ndiani, uye vanin’ina vangu ndivanaani?” 49 Achitambanudzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: “Ona! Amai vangu nevanin’ina vangu!+ 50 Nekuti munhu wese anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye munin’ina wangu uye hanzvadzi uye amai.”+
13 Pazuva iroro Jesu akabva pamba, akanogara pedyo negungwa. 2 Uye vanhu vakawanda vakamuunganira, zvekuti akatokwira muchikepe ndokugara pasi uye vanhu vese vakanga vakamira pamhenderekedzo.+ 3 Akabva avaudza zvinhu zvizhinji achishandisa mifananidzo,+ achiti: “Mumwe mudyari akaenda kunodyara.+ 4 Paaikusha mbeu, imwe mbeu yakawira parutivi pemugwagwa, shiri dzikauya dzikaidya yese.+ 5 Imwe yakawira pane matombo pakanga pasina ivhu rakawanda, uye yakabva yangomera nekuti ivhu racho rakanga risina kudzika.+ 6 Asi zuva parakabuda yakatsva, ikaoma nekuti yakanga isina midzi. 7 Imwe yakawira muminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga.+ 8 Imwe yacho yakawira paivhu rakanaka, ikatanga kubereka zvibereko, iyi zvakapetwa ka100, iyo ka60, imwe ka30.+ 9 Ane nzeve ngaanzwe.”+
10 Saka vadzidzi vakauya vakati kwaari: “Munotaurirei navo muchishandisa mifananidzo?”+ 11 Akapindura kuti: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene*+ zveUmambo hwekudenga, asi ivo havana kupiwa kunzwisisa. 12 Nekuti munhu wese anazvo, achawedzerwa zvimwe, uye achaitwa kuti ave nezvizhinji; asi munhu wese asina, achatorerwa kunyange zvaainazvo.+ 13 Ndokusaka ndichitaura navo ndichishandisa mifananidzo; nekuti vanotarisa, asi vachitarisa pasina, uye vanonzwa, asi vachinzwa pasina, uyewo vasingabati zviri kutaurwa zvacho.+ 14 Uye uprofita hwaIsaya huri kuzadzika kwavari. Hunoti: ‘Kunzwa muchanzwa, asi hamuzombobati zviri kutaurwa, uye kutarisa muchatarisa, asi hamuzombooni.+ 15 Nekuti mwoyo yevanhu ava haichateereri, uye nzeve dzavo dzakanzwa asi havana zvavakaita, uye vakatsinzina maziso avo, kuti varege kuzomboona nemaziso avo uye kunzwa nenzeve dzavo vachibata zviri kutaurwa zvacho nemwoyo yavo, votendeuka, ndovaporesa.’+
16 “Asi anofara maziso enyu nekuti anoona uye nzeve dzenyu nekuti dzinonzwa.+ 17 Nekuti chokwadi ndinoti kwamuri, vaprofita vazhinji nevanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona,+ uye kunzwa zvinhu zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
18 “Chiteererai mufananidzo wemunhu akadyara.+ 19 Kana munhu akanzwa shoko reUmambo asi orega kubata zviri kutaurwa, akaipa+ anobva auya obvuta chakadyarwa mumwoyo make; iyi ndiyo iya yakadyarwa parutivi pemugwagwa.+ 20 Kana iri iya yakadyarwa pane matombo, uyu ndiye anonzwa shoko obva arigamuchira nemufaro.+ 21 Asi iye haana midzi uye anotomboenderera mberi kwekanguva, asi kana pakamuka dambudziko kana kuti akatambudzwa pamusana peshoko, anobva agumburwa. 22 Kana iri iya yakadyarwa muminzwa, uyu ndiye anonzwa shoko, asi kuzvidya mwoyo nezvinhu zvemunyika ino*+ nesimba rinonyengera repfuma zvinovhunga shoko, rotadza kubereka zvibereko.+ 23 Kana iri iya yakadyarwa paivhu rakanaka, uyu ndiye uya anonzwa shoko achibata zviri kutaurwa zvacho, obereka zvibereko, uyu zvakapetwa ka100, uyo ka60, uye mumwe ka30.”+
24 Akavataurirazve mumwe mufananidzo, achiti: “Umambo hwekudenga hunogona kufananidzwa nemunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. 25 Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akakushawo masora pakati pegorosi racho, akaenda. 26 Dzinde parakakura rikabereka zvibereko, masora akabva aonekawo. 27 Saka varanda vatenzi wemba vakauya vakati kwaari, ‘Tenzi, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Saka sei mava nemasora?’ 28 Iye akati kwavari, ‘Mumwe munhu, muvengi, akaita izvi.’+ Varanda vakamupindura kuti, ‘Saka munoda here kuti tiende tinoadzura?’ 29 Iye akati, ‘Aiwa, ndinotyira kuti pamunenge muchidzura masora mungazodzurawo negorosi. 30 Regai zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa, uye mumwaka wekukohwa ndichaudza vakohwi kuti: Tangai kudzura masora muasunge mwanda kuti apiswe; mozounganidza gorosi muchiisa mudura rangu.’”+
31 Akavataurirazve mumwe mufananidzo, achiti: “Umambo hwekudenga hwakafanana netsanga yemasitadhi yakatorwa nemumwe murume akaidyara mumunda make.+ 32 Iyi ndiyo inotova mbeu diki pane dzimwe dzese, asi painenge yakura, ndiyo huru pazvirimwa zvese uye inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzowana pekugara mumapazi emuti wacho.”
33 Akavaudza mumwe mufananidzo achiti: “Umambo hwekudenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nemumwe mukadzi, akaisanganisa nezviyero zvikuru zvitatu zvefurawa, kusvikira mukanyiwa wese wavira.”+
34 Jesu akaudza vanhu zvinhu zvese izvi achishandisa mifananidzo. Aisambotaura navo asingashandisi mufananidzo,+ 35 kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita uya akati: “Ndichashama muromo wangu ndichishandisa mifananidzo; ndichazivisa zvinhu zvakavanzwa kubvira pakutanga.”*+
36 Paakanga aita kuti vanhu vaende, akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: “Titsanangurirei mufananidzo wemasora ari mumunda.” 37 Akavapindura kuti: “Mudyari wembeu yakanaka Mwanakomana wemunhu; 38 munda inyika.+ Kana iri mbeu yakanaka, ava vanakomana veUmambo, asi masora vanakomana veakaipa,+ 39 uye muvengi akaadyara ndiDhiyabhorosi. Kukohwa kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva iyoyo,* uye vakohwi ingirozi. 40 Saka sekungounganidzwa kunoitwa masora opiswa nemoto, ndizvo zvazvichava pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva iyoyo.*+ 41 Mwanakomana wemunhu achatuma ngirozi dzake, uye dzichaunganidza dzichibudisa muUmambo hwake zvinhu zvese zvinogumbura nevanhu vasingateereri mutemo, 42 uye dzichavakanda muvira remoto.+ Imomo ndimo mavachachema vari vachirumanisa mazino. 43 Panguva iyoyo vakarurama vachapenya zvakajeka sezuva+ muUmambo hwaBaba vavo. Ane nzeve ngaanzwe.
44 “Umambo hwekudenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa musango, yakawanikwa nemunhu ndokuiviga; uye nekufara kwaanoita, anoenda otengesa zvinhu zvese zvaainazvo otenga sango iroro.+
45 “Zvakare Umambo hwekudenga hwakafanana nemunhu anoita basa rekufamba achitengesa, achitsvaga maparera akanaka kwazvo. 46 Paakawana parera rimwe chete raikosha kwazvo, akaenda, akakurumidza kutengesa zvinhu zvese zvaakanga ainazvo, akaritenga.+
47 “Zvakare Umambo hwekudenga hwakafanana nemambure ekukukudzisa akadzikiswa mugungwa achibata hove dzemarudzi ese. 48 Paakazara, vakaakwevera pamhenderekedzo, uye vagara pasi, vakaunganidza dzakanaka+ vachiisa mumidziyo, asi vakarasa dzisina kukodzera.+ 49 Ndizvo zvazvichange zvakaita pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva iyoyo.* Ngirozi dzichabuda dzobvisa vakaipa pakati pevakarurama 50 uye dzichavakanda muvira remoto. Imomo ndimo mavachachema vari vachirumanisa mazino.
51 “Manzwisisa zvinhu zvese izvi here?” Ivo vakati kwaari: “Hongu.” 52 Iye akabva ati kwavari: “Kana zvakadaro, murayiridzi mumwe nemumwe, paanodzidziswa nezveUmambo hwekudenga, akafanana nemunhu, tenzi wemba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvitsaru mudura rake repfuma.”
53 Jesu paakapedza mifananidzo iyi, akabva ipapo. 54 Paakasvika kumusha kwake,+ akatanga kuvadzidzisa musinagogi ravo, zvekuti vakashamiswa, vakati: “Munhu uyu akawana kupi uchenjeri uhwu nemabasa esimba aya?+ 55 Uyu haasi iye mwanakomana wemuvezi here?+ Amai vake havanzi Mariya here, uye vanin’ina vake Jakobho naJosefa naSimoni naJudhasi here?+ 56 Uye hanzvadzi dzake, hadzisi pakati pedu here? Saka munhu uyu akazviwana kupi zvese izvi?”+ 57 Saka havana kumutenda.*+ Asi Jesu akati kwavari: “Muprofita anokudzwa kumwe kwese asi kwete kumusha kwake uye mumba make.”+ 58 Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji imomo nekuda kwekusava kwavo nekutenda.
14 Panguva iyoyo, Herodhi, mutongi weruwa, akanzwa nezvaJesu,+ 2 akati kuvashandi vake: “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi. Akamutswa kuvakafa, ndokusaka ari kuita mabasa esimba.”+ 3 Herodhi* akanga abata Johani, akamusunga, akamuisa mujeri nemhosva yaHerodhiyasi, mudzimai wemukoma wake Firipi.+ 4 Nekuti Johani akanga achiti kwaari: “Hazvibvumirwi nemutemo kuti imi muve naye.”+ 5 Asi kunyange aida kumuuraya, aitya vanhu, nekuti vaimuti muprofita.+ 6 Asi musi waipembererwa zuva rekuberekwa kwaHerodhi,+ mwanasikana waHerodhiyasi akatamba ipapo, Herodhi akafara nazvo+ 7 zvekuti akavimbisa achiita zvekupika kuti aizomupa chese chaanenge akumbira. 8 Akabva ataura zvaakanga afurirwa naamai vake, ndokuti: “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”+ 9 Kunyange zvazvo zvakamurwadza, mambo akarayira kuti aupiwe, nekuti airemekedza mhiko dzake uye vaya vaaidya navo. 10 Saka akatumira shoko, akaita kuti Johani adimburwe musoro mujeri. 11 Musoro wake wakaunzwa uri mundiro ukapiwa musikana wacho, akauendesa kuna amai vake. 12 Vadzidzi vake vakazouya, vakatora chitunha chake, ndokumuviga; vakabva vauya kuzoudza Jesu nezvazvo. 13 Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo nechikepe akaenda kunzvimbo isina vanhu kuti ave ega. Asi vanhu pavakanzwa nezvazvo, vakamutevera netsoka vachibva mumaguta.+
14 Paakasvika kumahombekombe, akaona vanhu vakawanda, uye akasiririswa navo,+ akarapa vairwara vavo.+ 15 Asi ava manheru vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati: “Nzvimbo ino iri kure nekunogara vanhu uye nguva yapera; chiregai vanhu vaende mumisha vanozvitengera zvekudya.”+ 16 Asi Jesu akati kwavari: “Havafaniri kuenda; vapei zvekudya imimi.” 17 Vakati kwaari: “Hatina chatiinacho pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.” 18 Akati: “Uyai nazvo pandiri.” 19 Akati vanhu vese vagare pasi muuswa. Akabva atora zvingwa zvacho zvishanu nehove mbiri, uye achitarisa kudenga, akakumbira chikomborero,+ uye amedura zvingwa, akazvipa vadzidzi, vadzidzi vakazvipa vanhu vese. 20 Saka vese vakadya vakaguta, uye vakaunganidza zvakanga zvasara, zvikazadza tswanda 12.+ 21 Vakadya vacho vaiva varume vangasvika 5 000, uyewo vakadzi nevana.+ 22 Pakarepo akabva aita kuti vadzidzi vake vakwire chikepe vofanotungamira mhiri, iye ndokusara achiita kuti vanhu vaende.+
23 Paakanga aendesa vanhu vese, akakwira mugomo ari ega kuti anonyengetera.+ Pakwakanga kwasviba, akanga arimo ari ega. 24 Pari zvino chikepe chakanga chava kure nenyika, nemazana mazhinji emamita,* chichitadziswa kufamba zvakanaka nemasaisai nekuti mhepo yaibva nechekwavakanga vakananga. 25 Asi panguva yechina yekurinda kweusiku,* akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. 26 Pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vadzidzi vakanetseka, vachiti: “Haasi munhu chaiye uyu!” Uye vakaridza mhere nekutya. 27 Asi Jesu akabva ataura navo achiti: “Musavhunduka henyu! Ndini; musatya.”+ 28 Petro akamupindura kuti: “Ishe, kana muri imi, itai kuti ndiuye kwamuri nepamusoro pemvura.” 29 Iye akati: “Uya!” Saka Petro akaburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura achienda kwaiva naJesu. 30 Asi paakatarisa dutu, akatanga kutya. Uye paakatanga kunyura, akashevedzera achiti: “Ishe, ndiponeseiwo!” 31 Jesu akabva angotambanudza ruoko rwake akamubata, ndokuti kwaari: “Iwe une kutenda kudiki, nei usina kuva nechokwadi?”+ 32 Pavakanga vakwira muchikepe, dutu rakadzikama. 33 Vaya vakanga vari muchikepe vakabva vamupfugamira, vachiti: “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.” 34 Uye vakayambuka vakasvika kunzvimbo inonzi Genesareti.+
35 Vanhu venzvimbo iyoyo pavakangomuziva, vakatumira shoko munyika iyoyo yese yakapoteredza, uye vanhu vakauya kwaari nevanhu vese vairwara. 36 Uye vaimuteterera kuti vangobata masa* enguo yake yekunze chete,+ uye vese vaiabata vakaporeswa.
15 VaFarisi nevanyori vakabva vauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema,+ vachiti: 2 “Sei vadzidzi vako vasingachengeti tsika dzevanhu vekare? Semuenzaniso, havagezi maoko* avo kana vava kuda kudya.”+
3 Akavapindura achiti: “Sei imi muchityora mutemo waMwari nekuda kwetsika dzenyu?+ 4 Semuenzaniso, Mwari akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye, ‘Munhu anotuka baba vake kana amai vake anofanira kuurayiwa.’+ 5 Asi imi munoti, ‘Munhu wese anoti kuna baba vake kana amai: “Chese chandiinacho chandaigona kukubatsirai nacho ndakachitsaura sechipo kuna Mwari,”+ 6 haafaniri kutombokudza baba vake.’ Saka makaita kuti shoko raMwari rishaye simba nekuda kwetsika dzenyu.+ 7 Imi vanyengeri, regai Isaya akazoprofita nezvenyu achiti:+ 8 ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni. 9 Vanoramba vachindinamata pasina, nekuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’”+ 10 Akabva ashevedza vanhu kuti vaswedere pedyo, akati kwavari: “Teererai munzwisise zvandiri kutaura:+ 11 Zvinopinda mumuromo memunhu hazvisirizvo zvinomusvibisa, asi zvinobuda mumuromo make ndizvo zvinomusvibisa.”+
12 Vadzidzi vakabva vauya kwaari vakati: “Munoziva here kuti vaFarisi vagumbuka nezvamataura?”+ 13 Akapindura achiti: “Chinhu chese chinomera chisina kudyarwa naBaba vangu vekudenga chichadzurwa. 14 Varegei vakadaro. Ivo mapofu anotungamirira vamwe. Saka kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, ese ari maviri achawira mugomba.”+ 15 Petro akapindura achiti: “Nyatsotitsanangurirai mufananidzo wacho.” 16 Iye akati: “Nemiwo hamusati mazvinzwisisa here?+ 17 Hamuzivi here kuti zvinhu zvese zvinopinda mumuromo zvinopfuura nemudumbu uye zvinobuda zvichipinda mugomba retsvina? 18 Asi zvinhu zvese zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, uye zvinhu izvozvo ndizvo zvinosvibisa munhu.+ 19 Semuenzaniso, mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa:+ umhondi, marudzi ese eupombwe,* umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura. 20 Izvi ndizvo zvinhu zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kugezwa* hakusvibisi munhu.”
21 Achibva ipapo, Jesu akaenda kunharaunda yeTire neSidhoni.+ 22 Uye mumwe mukadzi wechiFenikiya aigara munharaunda iyoyo akabva auya, akashevedzera achiti: “Ndinzwireiwo ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mwanasikana wangu ane dhimoni riri kumutambudza.”+ 23 Asi haana kumupindura kana shoko rimwe chete. Saka vadzidzi vake vakauya, vakatanga kumukumbira vachiti: “Mudzingei, nekuti ari kuramba achititevera achishevedzera.” 24 Akapindura kuti: “Handina kutumwa kune vamwe vanhu kunze kwemakwai akarasika eimba yaIsraeri.”+ 25 Asi mukadzi wacho akasvika akamupfugamira, achiti: “Ishe, ndibatsireiwo!” 26 Akamupindura achiti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira mbwanana.” 27 Mukadzi wacho akati: “Hongu, Ishe, asi mbwanana dzinodyawo mafufu anodonha patafura yavanatenzi vadzo.”+ 28 Jesu akabva amupindura kuti: “Imi amai, chokwadi kutenda kwenyu kukuru; ngazviitike kwamuri sezvamunoda.” Uye mwanasikana wake akapora kubvira panguva iyoyo.
29 Achibva ipapo, Jesu akasvika pedyo neGungwa reGarireya,+ uye akakwira mugomo akagara imomo. 30 Vanhu vakawanda vakasvika kwaari, vaine vanhu vaikamhina, vakaremara, mapofu, mbeveve, nevamwewo vazhinji, uye vakavaisa patsoka dzake, akavarapa.+ 31 Saka vanhu vakawanda vakashamiswa, vakakudza Mwari waIsraeri pavakaona mbeveve dzichitaura, vakaremara vachiporeswa, vanokamhina vachifamba zvakanaka, uye mapofu achiona.+
32 Asi Jesu akashevedza vadzidzi vake, akati: “Ndiri kusiririswa nevanhu ava+ nekuti vatova nemazuva matatu vaineni uye havana chavadya. Handidi kuti vaende nenzara nekuti vangaziya munzira.”+ 33 Asi vadzidzi vakati kwaari: “Chingwa chinokwana vanhu vakawanda kudai tingachiwana kupi munzvimbo ino iri kure nekunogara vanhu?”+ 34 Jesu akabva ati kwavari: “Mune chingwa chakawanda sei?” Ivo vakati: “Zvingwa zvinomwe, nehove diki shomanana.” 35 Saka pashure pekuudza vanhu kuti vagare pasi, 36 akatora zvingwa zvacho zvinomwe nehove dzacho, akaonga, akazvimedura, akatanga kupa vadzidzi, uye vadzidzi vakazvipa vanhu.+ 37 Vese vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvakasara zvikazadza matengu manomwe.+ 38 Vakadya vaiva varume 4 000, uyewo vakadzi nevana. 39 Akazoendesa vanhu vacho, akapinda muchikepe, akasvika munharaunda yeMagadhani.+
16 VaFarisi nevaSadhusi vakabva vasvika kwaari, uye vachida kumuedza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.+ 2 Akavapindura kuti: “Kana ava manheru munoti, ‘Kunze kuchange kwakanaka, nekuti denga rakati piriviri,’ 3 uye mangwanani munoti, ‘Kunze kuchatonhora, nhasi kuchanaya, nekuti denga rakati piriviri asi kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinenge zvakaita denga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. 4 Chizvarwa chakaipa uye cheupombwe* chinoramba chichitsvaga chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa+ kunze kwechiratidzo chaJona.”+ Saka akabva ipapo, achivasiya.
5 Vadzidzi vakabva vayambuka mhiri uye vakakanganwa kutakura chingwa.+ 6 Jesu akati kwavari: “Rambai makangwarira, muchenjerere mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.”+ 7 Saka vakatanga kutaurirana vachiti: “Tasiya chingwa.” 8 Achiziva izvi, Jesu akati: “Nei muri kutaura nyaya yekuti hamuna chingwa, imi mune kutenda kudiki? 9 Hamusati manzwisisa here nanhasi, kana kuti makanganwa here zvingwa zvishanu zviya zvakadyiwa nevanhu 5 000, uye kuti makazadza tswanda ngani?+ 10 Kana zvingwa zvinomwe zviya zvakadyiwa nevanhu 4 000 uye kuti makazadza matengu mangani?+ 11 Saka sei musiri kunzwisisa kuti handisi kutaura nemi nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.”+ 12 Vakabva vanzwisisa kuti akanga asiri kutaura kuti vachenjerere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.
13 Paakanga asvika munharaunda yeKesariya Firipi, Jesu akabvunza vadzidzi vake kuti: “Vanhu vari kuti Mwanakomana wemunhu ndiani?”+ 14 Ivo vakati: “Vamwe vanoti ndimi Johani Mubhabhatidzi,+ vamwe Eriya,+ vamwewo vachiti Jeremiya kana mumwe wevaprofita.” 15 Iye akati kwavari: “Ko imi, munoti ndini ani?” 16 Simoni Petro akapindura kuti: “Ndimi Kristu,+ Mwanakomana waMwari mupenyu.”+ 17 Jesu akabva ati kwaari: “Unofara iwe Simoni mwanakomana waJona, nekuti nyama neropa hazvina kukuzivisa* izvozvo, asi Baba vangu vekudenga ndivo vadaro.+ 18 Uyewo, ndinoti kwauri: Ndiwe Petro,+ uye padombo iri+ ndichavakira ungano yangu, uye magedhi eGuva* haazoikundi. 19 Ndichakupa makiyi eUmambo hwekudenga, uye chese chaungasunga panyika chinenge chatosungwa kudenga, uye chese chaungasunungura panyika chinenge chatosunungurwa kudenga.” 20 Akabva audza vadzidzi kuti vasatomboudza chero munhu kuti iye akanga ari Kristu.+
21 Kubvira ipapo, Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema onotambudzwa nenzira dzakawanda nevakuru, nevatungamiriri vevapristi, nevanyori, ourayiwa, ozomutswa pazuva rechitatu.+ 22 Petro akabva aenda naye parutivi, akatanga kumutsiura, achiti: “Musabva mazvidaro* Ishe; izvi hazvingamboitiki kwamuri.”+ 23 Asi achitendeuka, akati kuna Petro: “Siyana neni* Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nekuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zvinofungwa nevanhu.”+
24 Jesu akabva ati kuvadzidzi vake: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa,* arambe achinditevera.+ 25 Nekuti munhu wese anoda kuponesa upenyu hwake* acharasikirwa nahwo, asi munhu wese anorasikirwa neupenyu hwake* nekuda kwangu achahuwana.+ 26 Ko zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yese orasikirwa neupenyu hwake?*+ Munhu angapa chii kuti arege kurasikirwa neupenyu hwake?*+ 27 Nekuti Mwanakomana wemunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi dzake, uye achabva aripa mumwe nemumwe maererano nezviito zvake.+ 28 Chokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu vasati vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muUmambo hwake.”+
17 Pashure pemazuva 6, Jesu akaenda naPetro naJakobho nemunin’ina wake Johani, ndokukwira navo mugomo refu refu vari vega.+ 2 Uye akashanduka pamberi pavo; chiso chake chakatanga kupenya sezuva, nguo dzake dzekunze dzikabwinya* sechiedza.+ 3 Uye vakazongoona Mozisi naEriya vava kukurukura naye. 4 Petro akabva ati kuna Jesu: “Ishe, zvakanaka kuti tiri pano. Kana muchida, ndichadzika matende matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.” 5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravafukidza, uye inzwi raibva mugore racho rakabva rati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodiwa, wandafarira.+ Muteererei.”+ 6 Pavakanzwa izvi, vadzidzi vakawira pasi vakatya kwazvo. 7 Jesu akabva aswedera pedyo navo, uye achivabata, akati: “Simukai. Musatya.” 8 Pavakasimudza misoro, hapana wavakaona kunze kwaJesu chete. 9 Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavaudza kuti: “Musaudza vanhu zvamaratidzwa kusvikira Mwanakomana wemunhu amutswa kuvakafa.”+
10 Asi vadzidzi vakamubvunza kuti: “Saka nei vanyori vachiti Eriya ndiye anofanira kutanga kuuya?”+ 11 Akapindura achiti: “Eriya zvechokwadi ari kuuya uye achadzorera zvinhu zvese.+ 12 Asi ndinoti kwamuri, Eriya akatouya, uye havana kumuziva asi vakaita zvavaida naye.+ Izvi ndizvo zvichaitikawo kuMwanakomana wemunhu; achatambura mumaoko avo.”+ 13 Vadzidzi vakabva vaziva kuti akanga achitaura navo nezvaJohani Mubhabhatidzi.
14 Pavakasvika pedyo nevanhu,+ mumwe murume akasvika kwaari, akamupfugamira akati: 15 “Ishe, nzwirai mwanakomana wangu ngoni, nekuti ane pfari uye ari kurwara. Anowanzopunzikira mumoto uye mumvura.+ 16 Ndauya naye kuvadzidzi venyu, asi vatadza kumurapa.” 17 Jesu akapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda, chakamonyana,+ ndinofanira kuramba ndiinemi kusvikira riini? Kusvikira riini ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai naye pano.” 18 Jesu akabva atuka dhimoni racho, rikabuda maari, uye mukomana wacho akabva angopora kubvira panguva iyoyo.+ 19 Vadzidzi vakabva vauya kuna Jesu pasina vamwe vanhu vakati: “Nei tatadza kuridzinga?” 20 Akati kwavari: “Pamusana pekutenda kwenyu kudiki. Nekuti chokwadi ndinoti kwamuri, kana muine kutenda kwakaenzana nekatsanga kemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.”+ 21* ——
22 Pavakanga vakaungana muGarireya Jesu akati kwavari: “Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu,+ 23 vomuuraya, uye pazuva rechitatu achamutswa.”+ Izvi zvakavarwadza zvikuru.
24 Pavakasvika muKapenaume, varume vaitora mutero wemadrakema* maviri vakasvika kuna Petro, vakati: “Mudzidzisi wenyu anotera mutero wemadrakema maviri here?”+ 25 Iye akati: “Hongu.” Asi paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura naye achiti: “Simoni, unofungei? Madzimambo enyika anotora miripo kana mutero* kunaani? Kuvanakomana vavo here kana kuti kuvamwe vanhu?” 26 Paakati: “Kuvamwe vanhu,” Jesu akati kwaari: “Saka kana zvakadaro, vanakomana havateri. 27 Asi kuti tirege kuvagumbura,+ enda kugungwa, ukande chirauro, wotora hove inotanga kubuda, uye paunoivhura muromo, uchawana mari yesirivha.* Itore uvape, ubhadharire ini newe.”
18 Panguva iyoyo vadzidzi vakaswedera pedyo naJesu, vakati: “Ndiani mukuru kune vamwe vese muUmambo hwekudenga?”+ 2 Saka akashevedza mwana mudiki, akamumisa pakati pavo, 3 akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, kana mukasatendeuka* mova sevana vadiki,+ hamungambopindi muUmambo hwekudenga.+ 4 Saka munhu wese achazvininipisa semwana uyu mudiki ndiye mukuru kune vamwe vese muUmambo hwekudenga;+ 5 uye munhu wese anogamuchira mwana mudiki mumwe chete akadai nekuda kwezita rangu anondigamuchirawo. 6 Asi munhu wese anokanganisa kutenda kwemumwe* wevadiki ava vanotenda mandiri, zviri nani kuti asungirirwe mumutsipa make zidombo guru riya rinotenderedzwa nedhongi pakukuya, onyudzwa pakati pegungwa.+
7 “Ine nhamo nyika nekuda kwezvinhu zvinogumbura! Ichokwadi kuti zvinogumbura hazvingatadzi kuuya, asi ane nhamo munhu anokonzera kuti pave nechinhu chinogumbura! 8 Saka kana ruoko rwako kana tsoka yako ichiita kuti ugumburwe,* idimbure uirasire kure newe.+ Zviri nani kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina pane kukandwa mumoto usingaperi uine maoko maviri kana tsoka mbiri.+ 9 Uyewo, kana ziso rako richiita kuti ugumburwe,* ritodogore urirasire kure newe. Zviri nani kuti upinde uine ziso rimwe chete muupenyu pane kukandwa uine maziso maviri muGehena* remoto.+ 10 Mungwarire kuti musazvidze mumwe wevadiki ava, nekuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo dziri kudenga dzinogara dzichiona chiso chaBaba vangu vari kudenga.+ 11* ——
12 “Munofungei? Kana mumwe munhu aine makwai 100 rimwe rawo rorasika,+ haangasiyi 99 acho mumakomo oenda kunotsvaga rarasika racho here?+ 13 Uye kana ariwana, chokwadi ndinokuudzai, anorifarira chaizvo kupfuura 99 asina kurasika. 14 Ndizvo zvinoitwawo naBaba vangu* vari kudenga; havadi kuti kunyange mumwe chete wevadiki ava aparare.+
15 “Zvakare, kana hama yako ikatadza, enda unomuudza mhosva yake* muri mega.+ Kana akakuteerera, wawana hama yako.+ 16 Asi kana akasateerera, enda nemumwe kana vamwe vaviri, kuti nyaya yacho itongwe papiwa uchapupu hwevanhu vaviri kana vatatu.*+ 17 Kana akasavateerera, taura neungano. Kana akasateerera kunyange ungano, ngaave kwauri semunhu wemamwe marudzi+ uye semuteresi.+
18 “Chokwadi ndinoti kwamuri, zvinhu zvese zvamungasunga panyika zvichange zvatosungwa kudenga, uye zvinhu zvese zvamungasunungura panyika zvichange zvatosunungurwa kudenga. 19 Chokwadi ndinokuudzai zvakare, kuti kana vaviri venyu panyika vakabvumirana pamusoro pechimwe chinhu chinokosha chavanofanira kukumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.+ 20 Nekuti pane vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu,+ ini ndiripo pakati pavo.”
21 Petro akabva aswedera kwaari, akati: “Ishe, hama yangu inganditadzira kangani ini ndichiikanganwira? Kanosvika ka7 here?” 22 Jesu akati kwaari: “Ndinoti kwauri, kwete kanosvika ka7, asi kanosvika ka77.+
23 “Ndokusaka Umambo hwekudenga hungafananidzwa namambo aida kugadzirisa nyaya dzemari dzake nevaranda vake. 24 Paakatanga kugadzirisa, mumwe murume akanga aine chikwereti naye chematarenda 10 000* akaunzwa kwaari. 25 Asi nekuti akanga asina chekubhadhara nacho chikwereti chacho, tenzi wake akati iye nemudzimai wake nevana vake nezvinhu zvese zvaakanga ainazvo zvitengeswe kuti chikwereti chacho chibhadharwe.+ 26 Saka muranda wacho akazviwisira pasi, akamupfugamira, achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndichakubhadharai mari yenyu yese.’ 27 Asiririswa nazvo, tenzi wemuranda iyeye akamurega achienda, akadzima chikwereti chake.+ 28 Asi muranda wacho akabuda akawanawo mumwe muranda saiye, aiva nechikwereti naye chemadhinari* 100, uye akamubata, akatanga kumudzipa, achiti, ‘Bhadhara chikwereti chako chese.’ 29 Saka muranda uya akazviwisira pasi, akatanga kumuteterera achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakubhadhara mari yako.’ 30 Asi akanga asingadi, uye akaenda, akaita kuti akandwe mujeri kusvikira akwanisa kubhadhara chikwereti chake. 31 Vamwe varanda pavakaona zvakanga zvaitika, vakarwadziwa chaizvo, vakanomhan’ara kuna tenzi wavo zvese zvakanga zvaitika. 32 Tenzi wake akabva amushevedza, akati kwaari: ‘Muranda akaipa, ndakakudzimira chikwereti chako chese chiya pawakanditeterera. 33 Watadzawo kunzwira tsitsi mumwe muranda sewe sekukunzwira tsitsi kwandakaita here?’+ 34 Saka tenzi wake, ashatiriswa, akamuisa kuvarindi vejeri, kusvikira abhadhara chikwereti chake chese. 35 Baba vangu vekudenga vachakuitiraiwo izvozvo+ kana mumwe nemumwe wenyu asingakanganwiri hama yake zvichibva pamwoyo.”+
19 Jesu paakanga apedza kutaura zvinhu izvi, akabva muGarireya, akaenda kumuganhu weJudhiya mhiri kwaJodhani.+ 2 Vanhu vazhinji vakamuteverawo ikoko, akavarapa.
3 Uye vaFarisi vakauya kwaari vachida kumuedza, vakamubvunza kuti: “Zvinobvumirwa nemutemo here kuti murume arambe mudzimai wake nechikonzero chese chese?”+ 4 Akavapindura achiti: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika pakutanga akavaita munhurume nemunhukadzi+ 5 uye akati: ‘Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake, vaviri vacho vova nyama imwe’?+ 6 Zvekuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Saka ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”+ 7 Ivo vakati kwaari: “Saka nei Mozisi akati murume ape mukadzi gwaro rekumudzinga nekumuramba?”+ 8 Iye akati kwavari: “Mozisi akakubvumirai kuramba madzimai enyu nekuda kwekuoma kwemwoyo yenyu,+ asi zvakanga zvisina kudaro kubvira pakutanga.+ 9 Ndinoti kwamuri munhu wese anoramba mudzimai wake ipo pasina upombwe* hwaitwa, akaroora mumwe, anoita upombwe.”+
10 Vadzidzi vakati kwaari: “Kana ariwo mamiriro azvakaita pakati pemurume nemudzimai wake, zviri nani kusaroora.” 11 Iye akati kwavari: “Havasi vanhu vese vanogona kuwanira mukana mashoko acho, asi vaya vane chipo chacho chete.+ 12 Nekuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro, uye kune ngomwa dzakaitwa ngomwa nevanhu, uye kune ngomwa dzakazviita ngomwa nekuda kweUmambo hwekudenga. Regai anogona kuzviwanira mukana azviwanire mukana.”+
13 Vana vadiki vakabva vaunzwa kwaari, kuti aise maoko ake pavari onyengetera, asi vadzidzi vakavatsiura.+ 14 Asi Jesu akati: “Siyai vana vadiki, uye musavarambidza kuuya kwandiri, nekuti Umambo hwekudenga ndehwevanhu vakadai.”+ 15 Akaisa maoko ake pavari, akabva ipapo.
16 Mumwe munhu akauya kwaari akati: “Mudzidzisi, ndezvipi zvakanaka zvandinofanira kuita kuti ndiwane upenyu husingaperi?”+ 17 Iye akati kwaari: “Unondibvunzirei pamusoro pezvinhu zvakanaka? Kune mumwe chete akanaka.+ Asi kana uchida kupinda muupenyu, ramba uchichengeta mirayiro.”+ 18 Iye akati kwaari: “Ipi yacho?” Jesu akati: “Usauraya,+ usaita upombwe,+ usaba,+ usapa uchapupu hwenhema,+ 19 kudza baba vako naamai vako,+ uye ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+ 20 Jaya racho rikati kwaari: “Ndakachengeta yese iyi; chii chasara kuti ndiite?” 21 Jesu akati kwariri: “Kana uchida kuva akakwana, enda unotengesa zvinhu zvako upe varombo uye uchava nepfuma kudenga;+ uye uya uve muteveri wangu.”+ 22 Jaya racho parakanzwa izvi, rakaenda richirwadziwa, nekuti raiva nezvinhu zvakawanda.+ 23 Jesu akabva ati kuvadzidzi vake: “Chokwadi ndinoti kwamuri, zvichange zvakaomera mupfumi kuti apinde muUmambo hwekudenga.+ 24 Ndinotizve kwamuri, zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muUmambo hwaMwari.”+
25 Vadzidzi pavakazvinzwa, vakashamisika chaizvo, vachiti: “Chokwadi ndiani angaponeswa?”+ 26 Jesu akanyatsovatarisa ndokuti kwavari: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”+
27 Petro akabva amupindura kuti: “Ko isu takasiya zvinhu zvese tikakuteverai, tichawanei?”+ 28 Jesu akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, pachaitwa kuti zvinhu zvese zvive zvitsva, panogara Mwanakomana wemunhu pachigaro chake cheUmambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zveUmambo 12, muchitonga madzinza 12 aIsraeri.+ 29 Uye munhu wese akasiya dzimba kana vanin’ina kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nekuda kwezita rangu, achagamuchira izvi zvapetwa kazana uye achagara nhaka yeupenyu husingaperi.+
30 “Asi vazhinji vekutanga ndivo vachava vekupedzisira, uye vekupedzisira vachava vekutanga.+
20 “Nekuti Umambo hwekudenga hwakafanana natenzi wemba akafumira kunotsvaga vanhu vemaricho kuti vashande mumunda wake wemizambiringa.+ 2 Pashure pekubvumirana nevashandi kuti aizovapa dhinari* pazuva, akavati vashande mumunda wake wemizambiringa. 3 Akabudazve paawa inenge yechitatu,* ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita; 4 uye akati kwavari, ‘Nemiwo, pindai mumunda wemizambiringa, uye ndichakupai zvakakukodzerai.’ 5 Saka vakapinda. Akabudazve paawa inenge yechi6* neyechi9* akaita saizvozvo. 6 Akazobuda kekupedzisira paawa inenge yechi11,* akawana vamwe vakangomira, akati kwavari, ‘Nei maswera makamira pano pasina chamuri kuita?’ 7 Vakamupindura kuti, ‘Hapana munhu atitora.’ Iye akati kwavari, ‘Nemiwo pindai mumunda wemizambiringa.’
8 “Ava manheru, tenzi wemunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Shevedza vashandi uvape mibhadharo yavo,+ uchitanga newekupedzisira, wopedzisira newekutanga.’ 9 Varume veawa yechi11 pavakasvika, vakapiwa dhinari* pamunhu. 10 Saka vekutanga pavakazosvika, vakafunga kuti vaizogamuchira akawanda, asi naivowo vakabhadharwa dhinari* pamunhu. 11 Pavakarigamuchira, vakatanga kunyunyuta kuna tenzi wemba, 12 vakati, ‘Vekupedzisira ava vashanda awa imwe chete; asi mavaenzanisa nesu taswera tichifondoka tichipiswa nezuva!’ 13 Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, hapana chandakutadzira. Hauna kubvumirana neni kuti ndichakupa dhinari* here?+ 14 Tora mubhadharo wako uende. Ndinoda kupa wekupedzisira uyu zvakafanana nezvandakupa. 15 Handina kodzero yekuita zvandinoda nezvinhu zvangu here? Kana kuti ziso rako rava kuita ruchiva* nekuti ini ndiri munhu akanaka here?’*+ 16 Saka vekupedzisira vachava vekutanga, uye vekutanga vachava vekupedzisira.”+
17 Paakanga ava kukwidza kuJerusarema, Jesu akatora vadzidzi vake 12 parutivi, akati kwavari vari mumugwagwa:+ 18 “Iye zvino tiri kukwidza kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achaiswa kuvatungamiriri vevapristi nevanyori. Vachamutongera rufu,+ 19 vomuisa kuvanhu vemamwe marudzi kuti vamunyombe uye vamurove zvakasimba uye kuti vamuroverere padanda;+ asi achamutswa pazuva rechitatu.”+
20 Amai vevanakomana vaZebhedhi+ vakabva vasvika paari nevanakomana vavo vaine chikumbiro chavo, vakamupfugamira.+ 21 Akati kwavari: “Munodei?” Ivo vakamupindura vachiti: “Itai kuti vanakomana vangu vaviri ava vagare, mumwe kuruoko rwenyu rwerudyi uye mumwe kuruboshwe, muUmambo hwenyu.”+ 22 Jesu akapindura achiti: “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munokwanisa here kunwira mukapu yandava kuda kunwira?”+ Ivo vakati kwaari: “Tinokwanisa.” 23 Iye akati kwavari: “Ichokwadi kuti muchanwira mukapu yangu,+ asi zvekugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.”+
24 Vamwe gumi pavakazvinzwa, vakatsamwira mukoma nemunin’ina ava.+ 25 Asi Jesu akavashevedza akati: “Munoziva kuti vatongi vevanhu vemamwe marudzi vanozviita madzishe pavari uye vanhu vane zvinzvimbo vanoshandisa simba ravo pavari.+ 26 Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu;+ asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+ 27 uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.+ 28 Sezvakangoitwa neMwanakomana wemunhu, uyo asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+
29 Pavakanga vava kubuda muJeriko, vanhu vazhinji vakamutevera. 30 Uye vamwe varume vaviri mapofu vakanga vagere parutivi pemugwagwa vakabva vanzwa kuti Jesu akanga achipfuura naipapo, ndokushevedzera kuti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!”+ 31 Asi vanhu vakavatsiura, vachivaudza kuti vanyarare; asi ivo vakatonyanya kushevedzera, vachiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!” 32 Saka Jesu akamira, akavashevedza, akati: “Munoda kuti ndikuitirei chii?” 33 Ivo vakati kwaari: “Ishe, itai kuti maziso edu asvinure.” 34 Asiririswa, Jesu akabata maziso avo,+ vakabva vatanga kuona pakarepo, vakamutevera.
21 Pavakaswedera pedyo neJerusarema, vakasvika paBhetifage paGomo reMiorivhi, Jesu akabva atuma vadzidzi vaviri,+ 2 achiti kwavari: “Pindai mumusha wamuri kuona uyu. Muchasvikowana dhongi rakasungirirwa riine mwana waro. Asunungurei muuye nawo kwandiri. 3 Kana pakava nemunhu ane zvaanotaura, munofanira kuti, ‘Ari kudiwa naIshe.’ Achabva angokusiyai muchiuya nawo.”
4 Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nekumuprofita, uyo akati: 5 “Udzai mwanasikana weZiyoni kuti: ‘Ona! Mambo wako ari kuuya kwauri,+ ari munyoro,+ akatasva dhongi, chokwadi, akatasva mwana wedhongi, mwana wemhuka inotakuriswa zvinhu.’”+
6 Saka vadzidzi vakaenda, vakanoita zvese zvavakanga vaudzwa naJesu.+ 7 Vakauya nedhongi racho nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro pawo, iye akadzigarira.+ 8 Vanhu vakawanda vakawaridza nguo dzavo dzekunze mumugwagwa,+ vamwe vachitema mapazi emiti vachiawaridza mumugwagwa. 9 Uyewo vanhu vaifamba mberi kwake nevaya vaimutevera vakaramba vachishevedzera vachiti: “Tinokumbira kuti muponese* Mwanakomana waDhavhidhi!+ Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha!*+ Muponeseiwo,* muri kumusorosoro!”+
10 Uye paakapinda muJerusarema, guta rese rakanga riri zhowezhowe, vanhu vachiti: “Ndianiko uyu?” 11 Vanhu vazhinji vaiti: “Uyu ndiye muprofita Jesu,+ wekuNazareta yeGarireya!”
12 Jesu akapinda mutemberi, akadzingira kunze vese vaitenga nekutengesa mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari, nemabhenji evaitengesa njiva.+ 13 Uye akati kwavari: “Zvakanyorwa kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera,’+ asi imi muri kuiita bako remakororo.”+ 14 Mapofu nevanokamhina vakauyawo kwaari mutemberi, akavarapa.
15 Vatungamiriri vevapristi nevanyori pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaaiita uye vakomana vaishevedzera mutemberi vachiti, “Tinokumbira kuti muponese* Mwanakomana waDhavhidhi!”+ vakatsamwa,+ 16 vakati kwaari: “Uri kunzwa here zvavari kutaura?” Jesu akati kwavari: “Ehe. Hamusati mamboverenga here panoti, ‘Makaita kuti mumiromo mevana nemevacheche mubude mashoko ekurumbidza’?”+ 17 Achivasiya, akabuda kunze kweguta, akaenda kuBhetani, ndokurara ikoko.+
18 Paakanga achidzokera kuguta mangwanani-ngwanani, akatanga kunzwa nzara.+ 19 Akaona muonde pedyo nemugwagwa, akaenda pauri, asi hapana chaakawana kunze kwemashizha,+ akati kwauri: “Pauri ngaparege kuwanika muchero kusvikira nariini.”+ Muonde wacho wakabva wangooma. 20 Vadzidzi pavakazviona, vakashamisika, vakati: “Sei muonde wacho wabva wangooma?”+ 21 Jesu akavapindura achiti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, kana muine kutenda uye muine chokwadi nazvo, hamuzongoiti zvandaita kumuonde uyu chete, asi kunyange mukati kugomo iri, ‘Simuka uwire mugungwa,’ zvichaitika.+ 22 Uye zvinhu zvese zvamunonyengetera muchikumbira muine kutenda, muchazvigamuchira.”+
23 Paakapinda mutemberi, vatungamiriri vevapristi nevakuru vevanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa vakati: “Une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Uye ndiani akakupa mvumo yacho?”+ 24 Jesu akavapindura achiti: “Ndichakubvunzaiwo chimwe chinhu. Kana mukandiudza, ndichabva ndakuudzaiwo kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi: 25 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabvepi? Kudenga here kana kuti kuvanhu?” Asi vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati kwatiri, ‘Saka nei musina kumutenda?’+ 26 Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya vanhu, nekuti vese vanoti Johani muprofita.” 27 Saka vakapindura Jesu vachiti: “Hatizivi.” Akabva atiwo kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.
28 “Munofungei? Mumwe murume akanga aine vana vake vaviri. Akaenda kune wekutanga, akati, ‘Mwanangu, enda unoshanda mumunda wemizambiringa nhasi.’ 29 Uyu akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi akazozvitongesa, akaenda. 30 Akaenda kune wechipiri, akamuudza zvimwe chetezvo. Uyu akapindura achiti, ‘Zvakanakai, ndichaenda,’ asi haana kuenda. 31 Ndeupi pavaviri ava akaita kuda kwababa vake?” Vakati: “Wekutanga.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri vateresi nepfambi vari kukutangirai kupinda muUmambo hwaMwari. 32 Nekuti Johani akauya kwamuri ari munzira yekururama, asi hamuna kutenda maari. Asi vateresi nepfambi vakatenda maari,+ uye kunyange pamakazviona, hamuna kuzozvitongesa kuti mutende maari.
33 “Inzwai mumwe mufananidzo: Kwaiva nemumwe murume, muridzi wemba, akadyara munda wake wemizambiringa,+ akaupoteredza neruzhowa,* akachera chisviniro chewaini mauri, akavaka shongwe;+ akabva ausiya mumaoko mevarimi, akaenda kunze kwenyika.+ 34 Mwaka wekukohwa pawakasvika, akatuma varanda vake kuvarimi kunotora michero yake. 35 Asi varimi vakabata varanda vake, mumwe vakamurova, mumwe vakamuuraya, mumwe vakamutema nematombo.+ 36 Akatumazve vamwe varanda, vakawanda kupfuura vekutanga, asi vakavaitira zvimwe chetezvo.+ 37 Akazovatumira mwanakomana wake, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 38 Varimi vaya pavakaona mwanakomana wacho, vakarangana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka.+ Uyai timuuraye titore nhaka yake!’ 39 Saka vakamubata, vakamukanda kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya.+ 40 Saka kana muridzi wemunda wemizambiringa auya, achaitei nevarimi ivavo?” 41 Vakati kwaari: “Nekuti ivo vanhu vakaipa, achavaparadza zvakaipa uye achaisa munda wacho wemizambiringa mumaoko evamwe varimi vachamupa michero kana mwaka wekukohwa wasvika.”
42 Jesu akati kwavari: “Hamuna kumboverenga here muMagwaro kuti, ‘Dombo rakarambwa nevavaki ndiro razova dombo guru repakona.*+ Iri rakabva kuna Jehovha,* uye rinoshamisa mumaziso edu’?+ 43 Ndokusaka ndichiti kwamuri, muchatorerwa Umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo. 44 Uyewo munhu anowira padombo iri achaparara.+ Kana ari munhu achawirwa naro, richamukuya.”+
45 Vatungamiriri vevapristi nevaFarisi pavakanzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti akanga achitaura nezvavo.+ 46 Kunyange vaida kumubata,* vakatya vanhu, nekuti vanhu vaimuti muprofita.+
22 Jesu akataurazve navo achishandisa mifananidzo, achiti: 2 “Umambo hwekudenga hungafananidzwa namambo akaitira mwanakomana wake mabiko emuchato.+ 3 Uye akatuma varanda vake kunoshevedza vanhu vakanga vakakokwa kumabiko emuchato, asi vakanga vasingadi kuuya.+ 4 Akatumazve vamwe varanda, achiti, ‘Udzai vanhu vakakokwa kuti: “Onai! Ndagadzira zvekudya zvangu, mombe dzangu nezvipfuwo zvakakodzwa zvaurayiwa, uye zvinhu zvese zvamirira imi. Uyai kumabiko emuchato.”’ 5 Asi havana kumboita basa nazvo, saka mumwe akaenda kumunda kwake, mumwe kubasa kwake;+ 6 uye vamwe vacho vese, vakatora varanda vake, vakavabata zvisina ruremekedzo uye vakavauraya.
7 “Mambo akashatirwa, akatuma mauto ake akanouraya mhondi idzodzo uye akapisa guta radzo.+ 8 Akabva ati kuvaranda vake, ‘Zvinhu zvese zvemabiko emuchato zvapedza kugadzirwa, asi vanhu vainge vakakokwa vanga vasina kukodzera.+ 9 Saka endai kumigwagwa inobuda muguta, monokoka chero wamunenge maona kuti auye kumabiko emuchato.’+ 10 Saka varanda ivavo vakaenda kumigwagwa, vakaunganidza vese vavakawana, vakaipa pamwe chete nevakanaka; uye imba yemabiko emuchato yakazadzwa nevanhu vaidya.
11 “Mambo paakapinda kuti aongorore vaenzi, akaona mumwe murume akanga asina kupfeka nguo yemuchato. 12 Saka akamuti, ‘Shamwari, wapinda sei muno usina nguo yemuchato?’ Akashaya chekutaura. 13 Mambo akabva ati kuvashandi vake, ‘Musungei maoko nemakumbo mumukande panze murima. Ikoko ndiko kwaachachema ari achirumanisa mazino.’
14 “Nekuti kune vazhinji vanokokwa, asi vanosarudzwa vashoma.”
15 VaFarisi vakabva vaenda, ndokurangana kuti vamuwanire mhosva pamashoko ake.+ 16 Saka vakatuma vadzidzi vavo kwaari, pamwe chete nevateveri vebato raHerodhi,+ vachiti: “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura chokwadi uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, uye hamutsvagi kufadza munhu, nekuti hamutarisi zvakaita munhu nechekunze. 17 Saka tiudzei, munofungei? Zvinobvumirwa nemutemo* here kubhadhara mutero* kuna Kesari kana kuti kwete?” 18 Asi Jesu, achiziva uipi hwavo, akati: “Munondiedzerei, imi vanyengeri? 19 Ndiratidzei mari yacho inoterwa.” Vakauya nedhinari* kwaari. 20 Akati kwavari: “Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” 21 Ivo vakati: “NdezvaKesari.” Iye akabva ati kwavari: “Saka dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ 22 Pavakanzwa izvozvo, vakashamiswa, vakabva vamusiya, vakaenda.
23 Pazuva iroro vaSadhusi, avo vanoti hakuna rumuko,+ vakauya vakamubvunza kuti:+ 24 “Mudzidzisi, Mozisi akati: ‘Kana murume akafa asina vana, munin’ina wake anofanira kuroora mudzimai wacho oberekera mukoma wake vana.’+ 25 Zvino kwaiva nevatevedzani vanomwe vaiva nesu. Wekutanga akaroora, akafa asina vana, akasiyira munin’ina wake mudzimai wake. 26 Ndizvo zvakaitikawo kune wechipiri newechitatu, kusvikira vese vanomwe vapera. 27 Mukadzi wacho akazofawo. 28 Saka parumuko, achava mudzimai weupi wacho pavanomwe ava? Nekuti akambova mudzimai wavo vese.”
29 Jesu akavapindura achiti: “Makarasika, nekuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari;+ 30 nekuti parumuko varume havaroori uyewo vakadzi havaroorwi, asi vanenge vakaita sengirozi dziri kudenga.+ 31 Nezvekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri, achiti: 32 ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.”+ 33 Vanhu pavakanzwa izvi, vakashamiswa nekudzidzisa kwake.+
34 VaFarisi pavakanzwa kuti akanga aita kuti vaSadhusi vashaye remuromo, vakaungana pamwe chete. 35 Uye mumwe wavo, ainyatsoziva Mutemo, akamuedza nekumubvunza kuti: 36 “Mudzidzisi, ndeupi murayiro mukuru paMitemo yese?”+ 37 Iye akati kwaari: “‘Ida Jehovha* Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese nepfungwa dzako dzese.’+ 38 Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yese uye wekutanga. 39 Wechipiri, wakafanana nawo, ndeuyu: ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ 40 Pamirayiro iyi miviri ndipo panobva Mutemo wese, uye zvakanyorwa nevaprofita.”+
41 VaFarisi pavakanga vakaungana Jesu akavabvunza kuti:+ 42 “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Ivo vakati kwaari: “WaDhavhidhi.”+ 43 Iye akavabvunza kuti: “Saka sei Dhavhidhi paakanga afemerwa+ akamudana kuti Ishe, paakati, 44 ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako”’?+ 45 Saka kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?”+ 46 Hapana akakwanisa kumupindura, uye kubvira musi iwoyo, hapana akazoshinga kumubvunza zvakare.
23 Jesu akazotaura nevanhu vazhinji uye nevadzidzi vake, achiti: 2 “Vanyori nevaFarisi vakazvigarisa pachigaro chaMozisi. 3 Saka zvese zvavanokuudzai, zviitei uye zvichengetei, asi musatevedzera mabasa avo, nekuti vanotaura asi havaiti zvavanotaura.+ 4 Vanosunga mitoro inorema voiisa pamapfudzi evanhu,+ asi ivo havadi kutomboisudurutsa nemunwe wavo.+ 5 Mabasa ese avanoita, vanoita kuti vaonekwe nevanhu,+ nekuti vanokudza tubhokisi tune magwaro twavanosungirira sezvinhu zvinodzivirira*+ uye vanokudza masa* enguo dzavo.+ 6 Vanoda kugara panzvimbo dzevanoremekedzwa pakudya kwemanheru nepazvigaro zvepamberi* mumasinagogi+ 7 uye kukwaziswa mumisika uye kunzi Rabhi* nevanhu. 8 Asi imi, musanzi Rabhi, nekuti Mudzidzisi+ wenyu mumwe chete, uye imi mese muri hama. 9 Zvakare, musati baba kumunhu ari panyika, nekuti Baba venyu vamwe chete,+ vari kudenga. 10 Uyewo musanzi vatungamiriri, nekuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu. 11 Asi mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu.+ 12 Munhu wese anozvikwidziridza achaninipiswa,+ uye munhu wese anozvininipisa achakwidziridzwa.+
13 “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nekuti munovharira vanhu Umambo hwekudenga; nekuti imi hamupindi, uyewo hamubvumiri vaya vari kuda kupinda kuti vapinde.+ 14* ——
15 “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nekuti munofamba nemugungwa uye nepanyika kuti mutendeutse munhu mumwe chete, uye paanotendeuka munomuita munhu akakodzera kupinda muGehena* zvakapetwa kaviri kukupfuurai.
16 “Mune nhamo imi vatungamiriri mapofu,+ vanoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina basa; asi kana munhu akapika negoridhe retemberi, anotofanira kuita zvaanenge apika.’+ 17 Mapenzi nemapofu! Chikuru ndechipi ipapo, goridhe kana kuti temberi yaita kuti goridhe racho rive dzvene? 18 Munotizve, ‘Kana munhu akapika neatari, hazvina basa; asi kana munhu akapika nechipo chiri pairi, anotofanira kuita zvaanenge apika.’ 19 Mapofu! Chikuru ndechipi ipapo, chipo kana kuti atari inoita kuti chipo chacho chive chitsvene? 20 Saka wese anopika neatari anenge achipika nayo nezvinhu zvese zviri pairi; 21 uye wese anopika netemberi anenge achipika nayo naiye ari kugara mairi;+ 22 uye wese anopika nedenga anenge achipika nechigaro cheumambo chaMwari naiye akagara pachiri.
23 “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nekuti munopa chegumi chemindi nedhiri nekumini,*+ asi makasiya nyaya dzinokosha dzeMutemo, dzinoti, kutonga zvakarurama+ nengoni+ nekutendeka. Zvinhu izvi maifanira kuzviita, asi kwete muchizorega kuita zvimwe zvacho.+ 24 Mapofu anotungamirira vamwe,+ anobvisa unyunyu*+ muchinwiwa asi achimedza ngamera!+
25 “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nekuti munosuka kunze kwekapu nendiro,+ asi mukati makazara nemakaro*+ nekusazvibata.+ 26 Iwe muFarisi, bofu, tanga kuchenesa mukati mekapu nemendiro, kuti kunze kwazvo kuvewo kwakachena.
27 “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nekuti makafanana nemakuva akadzururwa nevhu jena,+ ayo nechekunze anooneka seakanaka asi mukati akazara nemapfupa evanhu vakafa, nekusachena kwemarudzi ese. 28 Nechekunze munooneka semakarurama kuvanhu, asi mukati makazara neunyengeri nekusateerera mutemo.+
29 “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nekuti munovaka makuva evaprofita uye munoshongedza makuva evakarurama,+ 30 uye munoti, ‘Kudai takanga takararama mumazuva emadzitateguru edu, tingadai tisina kubatana navo pakudeura ropa revaprofita.’ 31 Saka muri kuzvipupurira kuti muri vanakomana vevaya vakaponda vaprofita.+ 32 Kana zvakadaro, chipedzisai zvakatangwa nemadzitateguru enyu.
33 “Nyoka, vana venyoka,+ muchatiza sei mutongo wekukandwa muGehena?*+ 34 Saka ndiri kukutumirai vaprofita+ nevarume vakachenjera nevarayiridzi.+ Vamwe vavo muchavauraya+ uye muchavaroverera pamatanda, uye vamwe vavo muchavarova zvakasimba+ mumasinagogi enyu motevedza maguta ese muchivatambudza,+ 35 kuti mhosva yeropa rese revanhu vakarurama rakadeurwa panyika iuye pamuri, kubvira paropa raAbheri+ akarurama kusvikira kuropa raZekariya mwanakomana waBharakiya, wamakapondera pakati penzvimbo tsvene neatari.+ 36 Chokwadi ndinoti kwamuri, zvinhu zvese izvi zvichauya pachizvarwa chino.
37 “Jerusarema, Jerusarema, mhondi inouraya vaprofita uye inotema nematombo vaya vakatumwa kwairi!+ Ndaida sei kuunganidza vana vako, sekuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi iwe wakanga usingadi.+ 38 Ona! Waramwirwa imba yako.*+ 39 Nekuti ndinoti kwauri, kubvira zvino hauchazombondioni kusvikira wati, ‘Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha!’”*+
24 Jesu paakanga ava kubva patemberi, vadzidzi vake vakaenda kwaari kuti vamuratidze zvivakwa zvetemberi. 2 Akavapindura achiti: “Handiti muri kuona zvinhu zvese izvi? Chokwadi ndinoti kwamuri, matombo ese ari pano achakoromorwa zvekuti hapana richasara riri pamusoro perimwe.”+
3 Paakanga akagara pasi muGomo reMiorivhi, vadzidzi vakaenda kwaari vari vega, vakati: “Tiudzei, zvinhu izvi zvichaitika riini, uye chii chichava chiratidzo chekuti mavapo*+ uye chekuti nyika yava kumagumo kwayo?”*+
4 Jesu akavapindura achiti: “Chenjerai kuti parege kuva nemunhu anokutsausai,+ 5 nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachatsausa vazhinji.+ 6 Muchanzwa nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo. Musazovhundutswa nazvo, nekuti zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi mugumo unenge usati wasvika.+
7 “Nekuti rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo,+ uye kuchava nenzara+ nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.+ 8 Zvese izvi zvichava kutanga kwemarwadzo anotambudza.
9 “Vanhu vachaita kuti mutambudzwe+ uye vachakuurayai,+ uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.+ 10 Uyewo, vazhinji vachasiya kutenda,* vachatengesana uye vachavengana. 11 Vaprofita venhema vazhinji vachamuka votsausa vanhu vazhinji;+ 12 uye kuwedzera kwekusateerera mutemo kuchaita kuti rudo rwevazhinji rutonhore. 13 Asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.+ 14 Uye aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese,+ mugumo wozosvika.
15 “Saka pamunoona chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese, chakataurwa nezvacho nemuprofita Dhanieri, chimire panzvimbo tsvene+ (anoverenga ngaanzwisise), 16 vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.+ 17 Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka kuzobudisa zvinhu mumba make, 18 uye munhu ari mumunda ngaarege kudzokera kumba kunotora nguo yake yekunze. 19 Vane nhamo vakadzi vanenge vaine pamuviri nevaya vanenge vachiyamwisa mumazuva iwayo! 20 Rambai muchinyengetera kuti pamuchatiza irege kuva nguva yechando, kana kuti rirege kuva zuva reSabata; 21 nekuti panguva iyoyo pachava nekutambudzika kukuru+ kusati kwamboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazomboitikizve.+ 22 Ndingatoti kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa; asi mazuva iwayo achatapudzwa nekuda kwevakasarudzwa.+
23 “Panguva iyoyo kana munhu akati kwamuri, ‘Uyai muone! Kristu ari kuno,’+ kana kuti, ‘Uyo!’ musazvibvuma.+ 24 Nekuti vanaKristu venhema nevaprofita venhema+ vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, kuti kana zvichiita, vatsause+ kunyange vakasarudzwa. 25 Onai! Ndiri kukuyambirai. 26 Saka kana vanhu vakati kwamuri, ‘Onai! Ari murenje,’ musabuda; ‘Onai! Ari mudzimba dzemukati,’ musazvibvuma.+ 27 Nekuti sekubva kunoita mheni kumabvazuva ichipenya yakananga kumavirira, ndizvo zvichaitawo kuvapo* kweMwanakomana wemunhu.+ 28 Kwese kunenge kuine mutumbi, ndiko kuchaungana makondo.+
29 “Kutambudzika kwemazuva iwayo kuchangobva kuitika, zuva richasviba,+ uye mwedzi hauzovheneki, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba ekudenga achazununguswa.+ 30 Chiratidzo cheMwanakomana wemunhu chichabva chaoneka kudenga, uye madzinza ese epanyika achazvirova neshungu,+ uye achaona Mwanakomana wemunhu+ achiuya ari pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.+ 31 Uye achatuma ngirozi dzake nekurira kukuru kwebhosvo, uye dzichaunganidza vanhu vake vaakasarudza vachibva kumativi mana, kubvira kune mumwe mugumo wedenga kusvikira kune mumwe mugumo.+
32 “Dzidzai mufananidzo uyu pamuonde: Mapazi awo paanotanga kutungira obudisa tumashizha, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo.+ 33 Nemiwo pamunoona zvinhu zvese izvi, zivai kuti iye ava pedyo, pamasuo.+ 34 Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri zvinhu zvese izvi zvisati zvaitika. 35 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haazombopfuuri.+
36 “Hapana munhu anoziva zuva racho kana nguva yacho,+ kunyange ngirozi dzekudenga kana Mwanakomana, asi Baba vega.+ 37 Nekuti sezvakanga zvakaita mazuva aNoa,+ ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo* kweMwanakomana wemunhu.+ 38 Nekuti sezvavaiita mumazuva iwayo Mafashamo asati auya, vaidya nekunwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka,+ 39 vasingacherechedzi kusvikira Mafashamo auya akavakukura vese,+ ndizvo zvichaitikawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu. 40 Panguva iyoyo varume vaviri vachange vari mumunda; mumwe achaendwa naye, mumwe achisiyiwa. 41 Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo rimwe chete; mumwe achaendwa naye, mumwe achisiyiwa.+ 42 Saka rambai makarinda nekuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya riini.+
43 “Asi zivai chinhu chimwe chete ichi: Kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yekurinda,*+ angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe.+ 44 Saka nemiwo ivai vakagadzirira,+ nekuti Mwanakomana wemunhu ari kuuya panguva yamusingafungiri.
45 “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake kuti atungamirire veimba yake, achivapa zvekudya zvavo panguva yakakodzera?+ 46 Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita izvozvo paanouya!+ 47 Chokwadi ndinoti kwamuri, achamugadza pazvinhu zvake zvese.
48 “Asi kana zvikaitika kuti muranda akaipa iyeye anoti nechemumwoyo, ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’+ 49 otanga kurova vamwe varanda, achidya nekunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, 50 tenzi wemuranda iyeye achauya pazuva raasingafungiri uye panguva yaasingazivi,+ 51 uye achamuranga zvakaomarara uye achamupa mugove wake pamwe chete nevanyengeri. Ikoko ndiko kwaachachema ari achirumanisa mazino.+
25 “Uyezve Umambo hwekudenga hunogona kufananidzwa nemhandara gumi dzakatora marambi adzo+ dzikabuda kunochingura murume aichata.+ 2 Shanu dzacho dzakanga dzakapusa, uye shanu dzakanga dzakangwara.+ 3 Nekuti dzakapusa dzacho dzakatora marambi adzo dzikasatora mafuta, 4 asi dzakangwara dzacho dzakatora mafuta mumidziyo yadzo nemarambi adzo. 5 Murume uya aichata paakanonoka kuuya, dzese dzakatanga kunzwa hope dzikarara. 6 Pakati peusiku chaipo, kwakashevedzerwa kuchinzi: ‘Murume ari kuchata auya! Budai muzomuchingura.’ 7 Mhandara dzacho dzese dzakabva dzamuka, dzikagadzirira marambi adzo.+ 8 Dzakapusa dzakati kune dzakangwara, ‘Titapudzireiwo mamwe mafuta enyu, nekuti marambi edu ava kuda kudzima.’ 9 Dzakangwara dzakapindura dzichiti: ‘Pamwe anogona kusatikwanira tese. Saka endai munotenga enyu kwaanotengeswa.’ 10 Pavakanga vachienda kunotenga, murume wacho akasvika. Mhandara dzakanga dzakagadzirira dzakapinda naye mumabiko emuchato,+ suo rikavharwa. 11 Zvadaro, dzimwe mhandara dzacho dzakazouya, dzichiti, ‘Ishe, Ishe, tivhurireiwo!’+ 12 Akavapindura achiti, ‘Kukutaurirai chokwadi, handikuzivii.’
13 “Saka rambai makarinda+ nekuti hamuzivi zuva racho kana nguva yacho.+
14 “Nekuti zvakafanana nemumwe murume akanga ava kuda kuenda kunze kwenyika, ndokushevedza varanda vake, akasiya zvinhu zvake mumaoko avo.+ 15 Akapa mumwe matarenda* mashanu, mumwe maviri, uye mumwe rimwe chete, maererano nezvaikwanisa mumwe nemumwe wavo, ndokuenda kunze kwenyika. 16 Uya akapiwa matarenda mashanu, akabva aenda pakarepo akanoita bhizimisi nawo, akawana mamwe mashanu. 17 Uya akapiwa maviri akawanawo mamwe maviri. 18 Asi uya akapiwa rimwe chete akaenda akanocherera mari* yatenzi wake pasi, achiiviga.
19 “Pashure penguva refu, tenzi wevaranda ivavo akauya, akagadzirisa nyaya dzemari dzake navo.+ 20 Saka uya akapiwa matarenda mashanu akauya, akabudisa mamwe matarenda mashanu, achiti, ‘Tenzi, makandisiyira matarenda mashanu; onai, ndakawana mamwe matarenda mashanu.’+ 21 Tenzi wake akati kwaari: ‘Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka! Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakugadza kuti uve mutariri wezvinhu zvizhinji.+ Fara pamwe chete natenzi wako.’+ 22 Uya akapiwa matarenda maviri akauyawo ndokuti, ‘Tenzi, makandisiyira matarenda maviri; onai, ndakawana mamwe matarenda maviri.’+ 23 Tenzi wake akati kwaari: ‘Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka! Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakugadza kuti uve mutariri wezvinhu zvizhinji. Fara pamwe chete natenzi wako.’
24 “Pakupedzisira, uya akapiwa tarenda rimwe chete akasvika akati: ‘Tenzi, ndaiziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munodyorera pamusina kuurutsa.+ 25 Saka ndakatya, ndikaenda kunocherera tarenda renyu pasi. Tambirai zvinhu zvenyu izvi.’ 26 Tenzi wake akamupindura achiti: ‘Muranda akaipa, ane usimbe! Handiti waizviziva hako kuti ndinokohwa pandisina kudyara uye ndinodyorera pandisina kuurutsa? 27 Saka ungadai wakaisa mari* yangu kubhengi, uye pandaizodzoka ndingadai ndakaiwana yabereka.
28 “‘Saka mutorerei tarenda racho muripe uya ane matarenda gumi.+ 29 Nekuti munhu wese anazvo, achawedzerwa zvimwe uye achava nezvizhinji. Asi uya asina, achatorerwa kunyange zvaainazvo.+ 30 Kandai panze murima muranda uyu asingabatsiri. Ikoko ndiko kwaachachema ari achirumanisa mazino.’
31 “Mwanakomana wemunhu+ paanouya achibwinya, aine ngirozi dzese,+ achabva agara pachigaro chake cheumambo chinobwinya. 32 Marudzi ese achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu sekuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. 33 Uye achaisa makwai+ kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.+
34 “Mambo achabva ati kune vaya vari kurudyi rwake: ‘Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka yeUmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvambwa kwenyika. 35 Nekuti ndaiva nenzara mukandipa chekudya; ndaiva nenyota mukandipa chekunwa. Makanga musingandizivi, ndisina pekugara, mukandigamuchira zvakanaka mudzimba dzenyu;+ 36 ndakanga ndisina kupfeka,* mukandipfekedza.+ Ndakarwara mukandipepa. Ndakanga ndiri mujeri mukandishanyira.’+ 37 Vanhu vakarurama vachabva vamupindura vachiti: ‘Ishe, takakuonai riini muine nzara tikakupai zvekudya, kana kuti muine nyota, tikakupai chekunwa?+ 38 Takakuonai riini tisingakuzivii uye musina pekugara, tikakugamuchirai zvakanaka mudzimba dzedu, kana kuti musina kupfeka, tikakupfekedzai? 39 Ndiriini pamairwara kana kuti pamaiva mujeri patakauya kuzokuonai?’ 40 Mambo achapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, kana makazviitira mumwe wevadiki vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’+
41 “Achabva ati kune vaya vari kuruboshwe rwake: ‘Ibvai kwandiri,+ imi makatukwa, muende mumoto usingaperi+ wakagadzirirwa Dhiyabhorosi nengirozi dzake.+ 42 Nekuti ndaiva nenzara, asi hamuna kundipa chekudya; uye ndaiva nenyota, asi hamuna kundipa chekunwa. 43 Makanga musingandizivi, ndisina pekugara, asi hamuna kundigamuchira mudzimba dzenyu; ndisina kupfeka, asi hamuna kundipfekedza; ndichirwara uye ndiri mujeri, asi hamuna kundibatsira.’ 44 Ivo vachabva vapindura vachiti: ‘Ishe, takakuonai riini muine nzara kana kuti muine nyota kana kuti tisingakuzivii musina pekugara kana kuti musina kupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakushumirai?’ 45 Iye achabva avapindura achiti: ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, kana musina kuzviitira mumwe wevadiki ava, hamuna kuzviitira ini.’+ 46 Ava vachaenda kunoparadzwa* nekusingaperi,+ asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”+
26 Jesu paakanga apedza kutaura zvese izvi, akati kuvadzidzi vake: 2 “Munoziva kuti Paseka yasarirwa nemazuva maviri kuti isvike,+ uye Mwanakomana wemunhu achaiswa mumaoko evanhu vachamuroverera padanda.”+
3 Vatungamiriri vevapristi nevakuru vevanhu vakaungana muchivanze chemupristi mukuru ainzi Kayafasi,+ 4 ndokurangana+ kuti vabate* Jesu vachishandisa manomano* kuti vamuuraye. 5 Asi vaiti: “Hatidi kuzviita pamutambo, nekuti vanhu vanozoita zhowezhowe.”
6 Jesu paaiva kuBhetani mumba maSimoni wemaperembudzi,+ 7 mumwe mukadzi akanga aine chinu chearabhasta* chaiva nemafuta anonhuhwirira, anodhura kwazvo, akasvika paari, akatanga kuadira mumusoro make paakanga achidya. 8 Vadzidzi vachiona izvi vakatsamwa, vakati: “Ko mafuta aya ari kutambisirweiko? 9 Nekuti angadai atengeswa nemari yakawanda yopiwa varombo.” 10 Achiziva izvi, Jesu akati kwavari: “Muri kuda kunetsereiko mukadzi uyu? Andiitira zvakanaka. 11 Nekuti varombo munogara muinavo,+ asi hamusi kuzogara muineni.+ 12 Paaisa mafuta aya anonhuhwirira pamuviri wangu, azviita achigadzirira kuvigwa kwangu.+ 13 Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidzwa mashoko aya akanaka munyika yese, zvaitwa nemukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”+
14 Mumwe wevane Gumi Nevaviri, ainzi Judhasi Iskariyoti,+ akabva aenda kuvatungamiriri vevapristi,+ 15 akati: “Ndikamutengesa kwamuri munondipei?”+ Ivo vakati vaizomupa masirivha 30.+ 16 Saka kubvira ipapo akatanga kutsvaga mukana wakanaka wekumutengesa.
17 Pazuva rekutanga reChingwa Chisina Mbiriso+ vadzidzi vakauya kuna Jesu, vachiti: “Munoda kuti tikugadzirirei kupi pekudyira Paseka?”+ 18 Iye akati: “Endai kuna Nhingi muguta moti kwaari, ‘Mudzidzisi ati: “Nguva yangu yava kusvika; ndichachengetera Paseka pamba pako nevadzidzi vangu.”’” 19 Saka vadzidzi vakaita zvavakarayirwa naJesu, vakagadzirira Paseka.
20 Paakanga ava manheru,+ akagara patafura nevadzidzi 12.+ 21 Pavakanga vachidya, akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achanditengesa.”+ 22 Vakarwadziwa kwazvo nazvo, mumwe nemumwe wavo ndokutanga kuti kwaari: “Ishe, ndini here?” 23 Akavapindura achiti: “Ari kuseva neni mundiro ndiye achanditengesa.+ 24 Chokwadi, Mwanakomana wemunhu ari kuenda, sekunyorwa kwazvakaitwa nezvake, asi ane nhamo+ munhu iyeye ari kutengesa Mwanakomana wemunhu!+ Zvaiva nani kudai munhu iyeye asina kutombozvarwa.”+ 25 Judhasi, uyo akanga ava kuda kumutengesa, akapindura achiti: “Ndini here, Rabhi?” Jesu akati kwaari: “Iwe ndiwe wazvitaura.”
26 Pavakanga vachidya kudaro, Jesu akatora chingwa, akakumbira chikomborero, ndokuchimedura,+ uye akachipa vadzidzi, akati: “Tambirai mudye. Ichi chinomirira muviri wangu.”+ 27 Uye akatora kapu, akaonga ndokuvapa, achiti: “Mese inwai,+ 28 nekuti iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ kuti vakanganwirwe zvivi.+ 29 Asi ndinokuudzai kuti: Handichazombonwizve zvibereko izvi zvemuzambiringa kusvikira zuva randichazvinwa nemi zvava zvitsva muUmambo hwaBaba vangu.”+ 30 Pavakazopedza, vakaimba nziyo dzekurumbidza,* ndokubuda vachienda kuGomo reMiorivhi.+
31 Jesu akabva ati kwavari: “Mese muchandisiya* pamusana pezvichaitika kwandiri usiku huno, nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Ndicharova mufudzi, uye makwai achapararira.’+ 32 Asi kana ndamutswa, ndichafanotungamira kuGarireya.”+ 33 Asi Petro akamupindura achiti: “Kunyange vamwe vese vakakusiyai* pamusana pezvichaitika kwamuri, ini handifi ndakakusiyai!”*+ 34 Jesu akati kwaari: “Chokwadi ndinoti kwauri, usiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+ 35 Petro akati kwaari: “Kunyange kana ndichifanira kufa nemi, handizombokurambii.”+ Vamwe vadzidzi vese vakataurawo saizvozvo.
36 Jesu akabva asvika navo panzvimbo inonzi Getsemane,+ akati kuvadzidzi: “Garai pano ini ndiende uko kunonyengetera.”+ 37 Akatora Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, uye akatanga kurwadziwa mumwoyo make uye kunetseka zvikuru.+ 38 Akabva ati kwavari: “Mwoyo* wangu uri kurwadziwa kwazvo, zvekufa. Sarai pano murambe makarinda neni.”+ 39 Uye akaenda mberi zvishoma ndokugwadama, akanyengetera achiti:+ “Baba, kana zvichiita, kapu+ iyi ngaindipfuure. Asi, ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”+
40 Akadzoka kuvadzidzi, akavawana vachirara, akati kuna Petro: “Matadzawo kungorinda neni kweawa imwe chete zvayo here?+ 41 Rambai makarinda+ uye rambai muchinyengetera,+ kuti murege kupinda mumuedzo.+ Mweya* unoda zvawo, asi nyama haina simba.”+ 42 Akaendazve, kechipiri, akanyengetera achiti: “Baba, kana zvisingaiti kuti ipfuure ndisina kuinwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”+ 43 Akadzokazve akavawana vachirara, nekuti maziso avo akanga orema. 44 Saka akavasiya, akaendazve, akanyengetera kechitatu, achitaura zvaakanga ambotaura. 45 Akabva adzoka kuvadzidzi akati kwavari: “Nguva yakaita seino ndiyo yamuri kurara muchizorora henyu! Onai! Nguva yava pedyo yekuti Mwanakomana wemunhu atengeswe mumaoko evatadzi. 46 Simukai tiende. Onai! Mutengesi wangu ava kusvika.” 47 Achiri kutaura, Judhasi, mumwe wevane Gumi Nevaviri, akabva asvika aine vanhu vakawanda vaiva nemapakatwa netsvimbo, vakanga vatumwa nevatungamiriri vevapristi nevakuru vevanhu.+
48 Zvino mutengesi wake akanga avapa chiratidzo, achiti: “Mukaona wandinenge ndatsvoda, ndiye wacho; ibvai mamusunga.” 49 Akananga kuna Jesu ndokuti: “Hevoi Rabhi!” achibva amutsvoda zvinyoronyoro. 50 Asi Jesu akati kwaari: “Shamwari, wavingei?”+ Ivo vakabva vasvika, vakabata Jesu, vakamusunga. 51 Asi mumwe wevaya vakanga vaina Jesu akabva atambanudza ruoko rwake, akavhomora bakatwa rake, akacheka muranda wemupristi mukuru, nzeve ikabva.+ 52 Jesu akabva ati kwaari: “Dzorera bakatwa rako parinogara,+ nekuti vese vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.+ 53 Iwe unofunga kuti ndingatadza kukumbira Baba vangu kuti vandipe iye zvino mapoka makuru engirozi anopfuura 12?+ 54 Kana ndikadaro, Magwaro angazozadziswa sei anotaura kuti zvinofanira kuitika saizvozvi?” 55 Ipapo Jesu akati kumhomho yevanhu: “Ko ndava gororo here zvamauya kuzondisunga muine mapakatwa netsvimbo? Ndaigara ndichidzidzisa mutemberi mazuva ese,+ asi hamuna kundisunga.+ 56 Asi izvi zvese zvaitika kuti zvakanyorwa nevaprofita zvizadziswe.”*+ Vadzidzi vese vakabva vamusiya, vakatiza.+
57 Vaya vakasunga Jesu vakaenda naye kumupristi mukuru Kayafasi,+ kwakanga kwakaungana vanyori nevakuru.+ 58 Asi Petro akaramba achimutevera ari nechekure, kusvikira pachivanze chemupristi mukuru, uye akapinda mukati ndokugara nevashandi vepamba kuti aone kuti zvaizoguma sei.+
59 Vatungamiriri vevapristi neSanihedrini yese vakanga vachitsvaga uchapupu hwenhema hwekupomera Jesu kuti vamuuraye.+ 60 Asi hapana hwavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvizhinji zvenhema zvakauya.+ Pava paya, zvapupu zviviri zvakauya, 61 zvikati: “Munhu uyu akati, ‘Ndinokwanisa kupaza temberi yaMwari ndoivaka mumazuva matatu.’”+ 62 Paakanzwa izvi, mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: “Haupinduri here? Unoti chii nezvauri kupomerwa nevarume ava?”+ 63 Asi Jesu akaramba akanyarara.+ Saka mupristi mukuru akati kwaari: “Ndinoita kuti upike naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari!”+ 64 Jesu akati kwaari: “Iwe ndiwe wazvitaura. Asi ndinoti kwamuri: Kubvira zvino muchaona Mwanakomana wemunhu+ agere kuruoko rwerudyi rwesimba+ achiuya ari pamusoro pemakore ekudenga.”+ 65 Mupristi mukuru akabva abvarura nguo dzake dzekunze, achiti: “Amhura! Tichadirei zvimwe zvapupu? Onai! Iye zvino mamunzwa mega achimhura. 66 Munoti kudii?” Vakapindura kuti: “Anofanira kufa.”+ 67 Vakabva vamusvipira kumeso,+ vakamurova nezvibhakera.+ Vamwe vakamurova kumeso nembama,+ 68 vachiti: “Iwe Kristu, tiprofitire. Ndiani akurova?”
69 Petro akanga agere panze muchivanze, uye mumwe mushandi wechisikana akauya paari akati: “Iwe waivawo naJesu wekuGarireya!”+ 70 Asi iye akaramba pamberi pavo vese, achiti: “Handizivi zvauri kutaura.” 71 Paakaenda kukamba kepagedhi, mumwe musikana akamuziva akati kune vakanga varipo: “Murume uyu akanga aina Jesu wekuNazareta.”+ 72 Akarambazve, akapika achiti: “Handimuzivi murume uyu!” 73 Pashure pekanguva, vakanga vakamira ipapo vakauya vakati kuna Petro: “Chokwadi iwewo uri mumwe wavo, nekuti rurimi rwako chairwo runokubatisa.”* 74 Akabva atanga kutuka nekupika, achiti: “Handimuzivi murume uyu!” Jongwe rakabva rarira pakarepo. 75 Uye Petro akayeuka zvakanga zvataurwa naJesu, kuti: “Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+ Uye akabuda panze akachema zvinosiririsa.
27 Ava mangwanani, vatungamiriri vevapristi vese nevakuru vevanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye.+ 2 Vakamusunga, vakaenda naye, vakamuisa mumaoko aPirato.+
3 Judhasi, mutengesi wake, paakaona kuti Jesu akanga atongerwa rufu, akazvidemba, akadzokera nemasirivha aya 30 kuvatungamiriri vevapristi nevakuru,+ 4 akati: “Ndakatadza pandakatengesa ropa risina mhosva.” Ivo vakati: “Izvozvo zvinei nesu? Ndezvako wega izvo!” 5 Saka akakanda masirivha acho mutemberi, akabuda. Akabva aenda, akanozvisungirira.+ 6 Asi vatungamiriri vevapristi vakatora masirivha acho, vakati: “Hazvibvumirwi nemutemo kuaisa munochengeterwa pfuma yenzvimbo tsvene, nekuti iwo mutengo weropa.” 7 Vakataurirana vakabvumirana, ndokushandisa mari yacho kutenga munda wemuumbi kuti vaushandise senzvimbo yekuviga vanhu vanobva kune dzimwe nyika. 8 Saka nanhasi munda iwoyo unonzi Munda Weropa.+ 9 Zvakataurwa nekumuprofita Jeremiya zvakabva zvazadziswa zvekuti: “Uye vakatora masirivha 30, mutengo wainzi ndewemunhu, mutengo wakaiswa nevamwe vanakomana vaIsraeri, 10 vakatenga nawo munda wemuumbi, maererano nezvandakanga ndarayirwa naJehovha.”*+
11 Iye zvino Jesu akanga amira pamberi pagavhuna, uye gavhuna wacho akamubvunza kuti: “Ndiwe Mambo wevaJudha here?” Jesu akapindura kuti: “Iwe ndiwe uri kuzvitaura.”+ 12 Asi paaipomerwa nevatungamiriri vevapristi nevakuru, haana kupindura.+ 13 Pirato akabva ati kwaari: “Hausi kunzwa here zvese zvavari kukupomera?” 14 Asi haana kumupindura kana shoko rimwe chete zvaro, zvekuti gavhuna wacho akashamisika kwazvo.
15 Pamutambo mumwe nemumwe, gavhuna aiwanzosunungurira vanhu musungwa wavaida.+ 16 Panguva iyoyo chaiyo vakanga vaine musungwa aiva nembiri yekuita zvakaipa ainzi Bharabhasi. 17 Saka pavakanga vakaungana, Pirato akati kwavari: “Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi kana kuti Jesu, anonzi Kristu?” 18 Nekuti Pirato aiziva kuti godo ndiro rakanga raita kuti vamuunze kwaari. 19 Zvakare, paakanga agere pachigaro chekutonga, mudzimai wake akatumira shoko achiti: “Siyana nemunhu iyeye akarurama, nekuti ndatambura chaizvo kuhope pamusana pake.” 20 Asi vatungamiriri vevapristi nevakuru vakanyengetedza vanhu kuti vakumbire Bharabhasi,+ voita kuti Jesu aurayiwe.+ 21 Gavhuna akabva ati kwavari: “Pavaviri ava ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati: “Bharabhasi.” 22 Pirato akati kwavari: “Saka, ndoitei naJesu uyu anonzi Kristu?” Vese vakati: “Ngaarovererwe!”+ 23 Iye akati: “Nemhosva yei? Akatadzei?” Asi vakatowedzera kushevedzera vachiti: “Ngaarovererwe!”+
24 Achiona kuti zvakanga zvisiri kubatsira asi kuti zvaitomutsa mhirizhonga, Pirato akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pevanhu vazhinji ivavo, achiti: “Handina mhosva yeropa remunhu uyu. Mhosva ndeyenyu.” 25 Vanhu vese vakabva vapindura vachiti: “Ropa rake ngariuye patiri nepavana vedu.”+ 26 Akabva avasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe netyava,+ akamuendesa kuti anorovererwa padanda.+
27 Varwi vagavhuna vakabva vapinza Jesu mumuzinda wagavhuna, vakaunganidza uto rese rikamupoteredza.+ 28 Uye vakamubvisa zvipfeko zvaaiva nazvo, vakamupfekedza nguo tsvuku,+ 29 vakaruka korona yeminzwa vakaiisa mumusoro make uye vakaisa tsanga muruoko rwake rwerudyi. Uye vaipfugama pamberi pake vachimutsvinyira vachiti: “Kwaziwai, imi Mambo wevaJudha!” 30 Vakamusvipira mate,+ vakatora tsanga yacho, vakatanga kumurova mumusoro. 31 Pavakanga vamuseka, vakazomubvisa nguo yavainge vamupfekedza, vakamupfekedza nguo dzake dzekunze, vakaenda naye kuti anorovererwa.+
32 Pavakanga vachibuda vakawana mumwe murume wekuKurini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume uyu kuti atakure danda rake rekutambudzirwa.*+ 33 Uye pavakasvika panzvimbo yainzi Gorogota, zvinoreva kuti, Nzvimbo Yedehenya,+ 34 vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe;+ asi paakairavira, akaramba kuinwa. 35 Pavakanga vamuroverera, vakagova nguo dzake dzekunze vachiita zvekukanda mijenya,+ 36 uye vakagara ipapo vachimurinda. 37 Vakanyorawo chikwangwani chaiva nemhosva yaaipomerwa vakachiisa nechepamusoro pake. Chaiti: “Uyu ndiJesu Mambo wevaJudha.”+
38 Makororo maviri akabva arovererwa pamwe chete naye, rimwe kurudyi rwake, rimwe kuruboshwe rwake.+ 39 Uye vanhu vaipfuura vaimunyomba,+ vachidzungudza misoro yavo,+ 40 vachiti: “Ndiweka wekuda kupaza temberi woivaka mumazuva matatu,+ chizviponesa! Kana uri mwanakomana waMwari, buruka padanda rekutambudzirwa!”*+ 41 Vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vakatanga kumusekawo vachiti:+ 42 “Akaponesa vamwe; iye haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo waIsraeri;+ ngaachiburuka padanda rekutambudzirwa,* tobva tatenda maari. 43 Aivimba naMwari; zvino ngaachimununura kana achimuda,+ nekuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’”+ 44 Kunyange makororo akanga akarovererwa pamwe chete naye aimuzvidzawo.+
45 Kubvira paawa yechi6,* nyika yese yakava nerima, kusvikira paawa yechi9.*+ 46 Panenge paawa yechi9, Jesu akashevedzera nenzwi guru, achiti: “Eri, Eri, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?”+ 47 Vamwe vakanga vakamira ipapo pavakanzwa izvi vakatanga kuti: “Munhu uyu ari kushevedza Eriya.”+ 48 Mumwe wavo akabva amhanya, akatora siponji, akainyika muvhiniga, akaibayirira patsanga, akamupa kuti anwe.+ 49 Asi vamwe vese vakati: “Murege akadaro! Tiri kuda kuona kana Eriya akauya kuzomuponesa.” 50 Jesu akashevedzerazve nenzwi guru, akabudisa simba rake reupenyu.*+
51 Uye keteni renzvimbo tsvene+ rakabva rabvaruka nepakati,+ kubva kumusoro kusvikira pasi,+ nyika ikadengenyeka, uye matombo akatsemuka. 52 Makuva* akavhurika, mitumbi mizhinji yevatsvene vakanga vakarara ikabuda 53 uye yakaonekwa nevanhu vazhinji (uye vanhu vakanga vachibva kumakuva* pashure pekumutswa kwake vakapinda muguta dzvene). 54 Asi mukuru weuto nevaya vaiva naye vachirinda Jesu pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakanga zvichiitika, vakatya kwazvo, vakati: “Chokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”+
55 Uye vakadzi vakawanda vakanga vaperekedza Jesu vachibva kuGarireya kuti vazomushumira, vaitarisa zvaiitika vari nechekure zvishoma;+ 56 pakati pavo paiva naMariya Magadharini, uye Mariya amai vaJakobho naJosesi uye amai vevanakomana vaZebhedhi.+
57 Zuva parakanga rava kunovira, mumwe murume wekuArimatiya akanga akapfuma ainzi Josefa, uyo akanga avawo mudzidzi waJesu, akauya.+ 58 Murume uyu akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu.+ Pirato akabva arayira kuti achipiwe.+ 59 Josefa akatora chitunha chacho, akachiputira nejira rakanaka, rakachena,+ 60 akachiradzika muguva rake idzva,+ raakanga akachera padombo. Akasiya akungurutsira dombo guru pasuo reguva,* ndokuenda. 61 Asi Mariya Magadharini nemumwe Mariya vakaramba varipo, vakagara pamberi peguva.+
62 Zuva rakatevera, pashure pezuva reKugadzirira,+ vatungamiriri vevapristi nevaFarisi vakaungana pamberi paPirato, 63 vakati: “Changamire, tinoyeuka kuti munyengeri uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Pashure pemazuva matatu ndichamutswa.’+ 64 Saka rayirai kuti guva racho richengetedzwe kusvikira pazuva rechitatu, kuti vadzidzi vake varege kuuya vakamuba+ voti kuvanhu, ‘Akamutswa kuvakafa!’ Unyengeri uhwu hwekupedzisira hungatozova hwakaipa kupfuura hwekutanga.” 65 Pirato akati kwavari: “Torai varindi, muende munorichengetedza sekuziva kwamunoita.” 66 Saka vakaenda, vakaita kuti guva racho richengetedzwe nekunama dombo racho uye nekuita kuti pave nevarindi.
28 Pashure peSabata, pazuva rekutanga revhiki, kunze kwava kuedza, Mariya Magadharini nemumwe Mariya vakaenda kunoona guva racho.+
2 Kudengenyeka kwenyika kukuru kwakanga kwaitika, nekuti ngirozi yaJehovha* yakanga yaburuka ichibva kudenga, ikakungurutsa dombo, uye yakanga yakagara pariri.+ 3 Yakanga ichiratidzika semheni, uye zvipfeko zvayo zvakanga zvakachena sechando.+ 4 Varindi vakaitya, zvekuti vakadedera, vakaita sevanhu vakafa.
5 Asi ngirozi yakati kuvakadzi vacho: “Musatya, nekuti ndinoziva kuti muri kutsvaga Jesu uyo akarovererwa.+ 6 Haapo pano, nekuti akamutswa, sekutaura kwaakaita.+ Uyai muone paakanga akarara. 7 Mobva makurumidza kuenda kunoudza vadzidzi vake kuti iye akamutswa kuvakafa, uye ari kutofanotungamira kuGarireya.+ Muchanomuona ikoko. Yeukai zvandakuudzai.”+
8 Saka vakabva paguva nekukurumidza, vachitya uye vachifara zvikuru, uye vakamhanya kunoudza vadzidzi vake.+ 9 Jesu akabva asangana navo akati: “Kwaziwai!” Ivo vakasvika paari, vakamupfugamira, vakabata tsoka dzake. 10 Jesu akabva ati kwavari: “Musatya! Endai munoudza hama dzangu kuti dziende kuGarireya, uye dzichandiona ikoko.”
11 Pavakanga vachienda, vamwe vevarindi+ vakapinda muguta vakaudza vatungamiriri vevapristi zvese zvakanga zvaitika. 12 Ava vakabva vaungana nevakuru, vakarangana, ndokupa varwi masirivha akawanda, 13 vakati: “Munoti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba takarara.’+ 14 Kana izvi zvikasvika munzeve dzagavhuna, tichamutsanangurira nyaya yacho,* saka munenge musisina chekutya.” 15 Saka vakatambira masirivha acho vakaita zvavakanga vaudzwa, uye nyaya iyi yakaparadzirwa kwese kwese pakati pevaJudha kusvikira nhasi.
16 Asi vadzidzi 11 vakaenda kuGarireya+ kugomo uko Jesu akanga arangana navo kuti vaizosangana.+ 17 Pavakamuona, vakamupfugamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi kuti ndiye. 18 Jesu akaswedera pedyo navo akati kwavari: “Ndakapiwa masimba ese kudenga nepanyika.+ 19 Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,+ muchivabhabhatidza+ muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, 20 muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.+ Uye yeukai kuti ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.”*+
Kana kuti “redzinza raJesu.”
Kana kuti “Mesiya; Muzodziwa.”
Apa ndipo pekutanga panzvimbo 237 dzinowanika zita raMwari rekuti Jehovha, muMagwaro echiKristu echiGiriki mundima chaimo muBhaibheri rino. Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
Rinoenderana nezita rechiHebheru rekuti Jeshua kana kuti Joshua, iro rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso.”
Kana kuti “Mesiya; Muzodziwa.”
Kana kuti “vaitsvaga mweya wemwana.”
Rinogona kunge rakabva pashoko rechiHebheru rinoreva “nhungirwa.”
Pano shoko iri riri kureva nzvimbo isingagari vanhu vakawanda.
Kana kuti “Foshoro yake yekuurutsisa iri.”
Kana kuti “panzvimbo yakakwirira kupfuura dzese yetemberi.”
Kana kuti “Nharaunda Yemaguta Gumi.”
Kana kuti “vanoziva kuti varombo pamweya.”
Kana kuti “vanoda rugare.”
Kana kuti “petswanda yekuyeresa.”
Nzvimbo yekupisira marara kunze kweJerusarema. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “wava nerugare.”
ChiGir., “makwadrani ekupedzisira.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “utadze.”
Kana kuti “utadze.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva, ari kuda kukwereteswa pasina mubereko.
Kana kuti “paunopa varombo zvipo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva kuti rinofanira kukudzwa kana kuti kuremekedzwa sezvo riri dzvene.
ChiGir., “chingwa chedu chanhasi.”
Kana kuti “zvikwereti.”
Kana kuti “vanogara vakati nyangarara.”
Aka kachipembenene kanodya machira.
Kana kuti “richinyatsoona; rakanaka.”
Kana kuti “uchazara nechiedza.”
ChiGir., “rakaipa.”
Kana kuti “pemweya yenyu.”
Kana kuti “Mweya.”
Kana kuti “kumakuva evanoyeukwa.”
Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.
Kana kuti “anoshingaira.”
Iri izita rinopiwa Satani, muchinda kana kuti mutongi wemadhimoni.
Kana kuti “upenyu,” kureva, tariro yeupenyu.
ChiGir., “neasarioni.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “upenyu hwake.”
Kana kuti “neupenyu hwake.”
Kana kuti “zvakanaka.”
ChiGir., “vakaberekwa nevakadzi.”
Kana kuti “hunorevererwa.”
Kana kuti “nezvahunobudisa.”
Kana kuti “kuHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “zororo remweya yenyu.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “akafarirwa nemweya wangu!”
Iri izita rinopiwa Satani.
Kana kuti “chisina kutendeka.”
Kana kuti “zvemumamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Dzimwe shanduro dzinoti, “pakutanga kwenyika.”
Kana kuti “vakagumburwa pamusana pake.”
Kureva, Herodhi Andipasi. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiGir., “nemastadhiya akawanda.” Stadhiya rimwe chete rakanga rakaenzana nemamita 185.
Kureva, kubva kuma3:00 dzeusiku kusvika kuma6:00 dzemangwanani.
Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.
Kureva, kugeza maererano netsika dzechitendero.
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva, kugeza maererano netsika dzechitendero.
Kana kuti “chisina kutendeka.”
Kana kuti “nekuti haasi munhu akuzivisa.”
Kana kuti “eHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Zvinzwirei mutsa.”
ChiGir., “Enda shure kwangu.”
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “dzikachena.”
Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.
ChiGir., “mari yesitateri,” iyo inonzi ndiyo tetradrakema. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “mukasachinja.”
Kana kuti “anogumbura mumwe.”
Kana kuti “utadze.”
Kana kuti “utadze.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “venyu.”
ChiGir., “unomutsiura.”
Kana kuti “pasimbiswa nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.”
Matarenda 10 000 esirivha ainge akaenzana nemadhinari 60 000 000. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva, kuma9:00 dzemangwanani.
Kureva, kuma12:00 dzemasikati.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kureva, kuma5:00 dzemanheru.
ChiGir., “rakaipa.”
Kana kuti “ane mwoyochena; anopa.”
Kana kuti “mweya wake.”
ChiGir., “Hosana.”
ChiGir., “Hosana.”
ChiGir., “Hosana.”
Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.
ChiGir., “musoro wekona.”
Kana kuti “kumusunga.”
Kana kuti “Zvakarurama.”
Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.
Kana kuti “vanokudza mafirakiteri avo.”
Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.
Kana kuti “zvakanakisisa.”
Kana kuti “Mudzidzisi.”
Izvi zvaiiswa muzvekudya kuti zvinhuhwirire uye zvinake.
Aka kachipembenene kakaita seumhutu.
Kana kuti “nezvinhu zvakapambwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Imba yako yasiyiwa rava dongo.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Kuvapo.”
Kana kuti “mamiriro ezvinhu ava kumagumo kwawo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “vachagumburwa.”
Kana kuti “nguvai usiku.”
Tarenda rechiGiriki rainge rakaenzana nemakirogiramu 20,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiGir., “sirivha.”
ChiGir., “sirivha.”
Kana kuti “ndisina kunyatsopfeka.”
ChiGir., “vachagurwa.”
Kana kuti “vasunge.”
Kureva kuti vaida kumusunga nenzira inoita kuti vanhu vaone seane mhosva.
Kana kuti “mapisarema.”
ChiGir., “muchagumburwa.”
ChiGir., “vakagumburwa.”
ChiGir., “ndakagumburwa.”
Kana kuti “Mweya.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “magwaro evaprofita azadziswe.”
Kana kuti “matauriro ako chaiwo anokubatisa.”
Kureva, kuma12:00 dzemasikati.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kana kuti “akabva afa.”
Kana kuti “Makuva evanoyeukwa.”
Kana kuti “kumakuva evanoyeukwa.”
Kana kuti “reguva rekuyeukwa.”
ChiGir., “tichamunyengetedza.”
Kana kuti “kusvikira kumagumo kwemamiriro ezvinhu.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.