RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Zekariya 1:1-14:21
  • Zekariya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zekariya
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zekariya

ZEKARIYA

1 Mumwedzi wechi8 wegore rechipiri raDhariyasi,+ shoko raJehovha rakauya kumuprofita Zekariya*+ mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho, richiti: 2 “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu kwazvo.+

3 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “‘Dzokai kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye ini ndichadzoka kwamuri,’+ anodaro Jehovha wemauto.”’

4 “‘Regai kuita semadzibaba enyu ayo akaudzwa nevaprofita vekare kuti: “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndapota siyai nzira dzenyu dzakaipa nemabasa enyu akaipa.’”’+

“‘Asi iwo haana kuteerera kana kundinzwa,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

5 “‘Madzibaba enyu ari kupi iye zvino? Uye vaprofita vacho vakararama nekusingaperi here? 6 Asi mashoko angu nemirau yangu zvandakarayira vashumiri vangu vaprofita, hazvina kuitika here kumadzibaba enyu?’+ Vakabva vadzoka kwandiri vakati: ‘Jehovha wemauto atiitira zvinoenderana nenzira dzedu uye nemabasa edu, sezvaakasarudza.’”+

7 Pazuva rechi24 remwedzi wechi11, kureva mwedzi waShebhati,* mugore rechipiri raDhariyasi,+ shoko raJehovha rakauya kumuprofita Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho, richiti: 8 “Ndakaona chiratidzo usiku. Paiva nemurume akanga akatasva bhiza dzvuku, uye akaramba akamira pakati pemiti yemikute yaiva mugoronga; uye shure kwake kwaiva nemabhiza matsvuku, neakatsvukuruka, nemachena.”

9 Saka ndakati: “Ishe wangu, ava ndivanaani?”

Ngirozi yaitaura neni yakabva yati kwandiri: “Ndichakuratidza kuti ndivanaani.”

10 Murume akanga akamira pakati pemiti yemikute akabva ati: “Ava ndivo vatumwa naJehovha kuti vafambe panyika.” 11 Ivo vakabva vati kungirozi yaJehovha yakanga yakamira pakati pemiti yemikute: “Tafamba munyika, uye taona kuti nyika yese ine runyararo uye haina chiri kunetsa.”+

12 Saka ngirozi yaJehovha yakati: “Jehovha wemauto, muchasvika riini musinganzwiri guta reJerusarema nemaguta eJudha tsitsi,+ ayo amakatsamwira kwemakore aya 70?”+

13 Jehovha akapindura ngirozi yakanga ichitaura neni, nemashoko akanaka uye anonyaradza. 14 Ngirozi yakanga ichitaura neni yakabva yati kwandiri: “Shevedzera uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndiri kushingairira Jerusarema neZiyoni zvikuru.+ 15 Ndakatsamwira kwazvo marudzi akagara zvakanaka,+ nekuti ndakanga ndisina kutsamwira vanhu vangu zvakanyanya,+ asi iwo akavatambudza zvakanyanyisa.”’+

16 “Saka zvanzi naJehovha: ‘“Ndichadzoka kuJerusarema uye ndicharinzwira tsitsi,+ uye imba yangu ichavakwa mariri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “uye Jerusarema richatambanudzirwa tambo yekuriyera pamusoro paro.”’+

17 “Shevedzerazve uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Maguta angu achafashukirazve nezvakanaka; uye Jehovha achanyaradzazve Ziyoni,+ osarudzazve Jerusarema.”’”+

18 Ndakabva ndasimudza musoro ndikaona nyanga ina.+ 19 Saka ndakati kungirozi yakanga ichitaura neni: “Nyanga idzi dziri kumiririrei?” Iyo ikapindura kuti: “Idzi ndidzo nyanga dzakaita kuti vanhu veJudha,+ neIsraeri+ neJerusarema vapararire.”+

20 Jehovha akabva andiratidza mhizha ina. 21 Ndakabva ndati: “Ko ava vari kuuya kuzoitei?”

Iye akati: “Idzi ndidzo nyanga dzakaita kuti vaJudha vapararire zvekuti hapana akakwanisa kusimudza musoro. Asi vamwe ava vachauya kuzodzityisa, kuzowisira pasi nyanga dzemarudzi akasimudzira nyika yeJudha nyanga dzawo achiirwisa, kuti vanhu vayo vapararire.”

2 Ndakasimudza musoro ndikaona mumwe murume ainge akabata tambo yekuyeresa.+ 2 Saka ndakati: “Uri kuenda kupi?”

Iye akati: “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nekureba kwaro.”+

3 Ngirozi yaitaura neni yakabva pandaiva, uye imwe ngirozi yakauya kuzosangana nayo. 4 Yakabva yati kwairi: “Mhanya unoudza jaya iro kuti, ‘“Jerusarema richagarwa+ semisha yekumaruwa,* nekuti vanhu vari mariri vachawanda uye zvipfuwo zviri mariri zvichawanda.+ 5 Ini ndichava rusvingo rwaro rwemoto kumativi ese,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye kubwinya kwangu kuchava mariri.”’”+

6 “Uyai! Uyai! Budai munyika yekuchamhembe mutize,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

“Nekuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzekudenga,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

7 “Uya iwe Ziyoni! Tiza iwe uri kugara nemwanasikana weBhabhironi.+ 8 Nekuti Jehovha wemauto, uyo akapiwa rukudzo achibva andituma kumarudzi aikupambai ati:+ ‘Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu.+ 9 Nekuti iye zvino ndichasimudza ruoko rwangu ndichivarwisa, uye vachapambwa nevaranda vavo.’+ Muchaziva kuti Jehovha wemauto andituma.

10 “Shevedzera nemufaro, iwe mwanasikana weZiyoni;+ nekuti ndiri kuuya,+ uye ndichagara mauri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 11 “Zuva iroro marudzi mazhinji achauya kuna Jehovha,+ uye achava vanhu vangu; uye ndichagara mauri.” Uchaziva kuti Jehovha wemauto andituma kwauri. 12 Jehovha achaita kuti Judha ive mugove wake munyika tsvene, uye achasarudzazve Jerusarema.+ 13 Imi vanhu vese, nyararai pamberi paJehovha, nekuti abuda munzvimbo yake tsvene yaanogara kuti aite zvaakaronga.

3 Akabva andiratidza mupristi mukuru Joshua+ uyo ainge akamira pamberi pengirozi yaJehovha, uye Satani+ akanga akamira kuruoko rwerudyi rwaJoshua kuti amurwise. 2 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Satani: “Jehovha ngaakutuke, iwe Satani,+ chokwadi Jehovha uyo asarudza Jerusarema+ ngaakutuke! Murume uyu haasi danda ravhomorwa mumoto here?”

3 Zvino Joshua akanga akamira pamberi pengirozi, akapfeka nguo dzakasviba. 4 Ngirozi yakati kune vaya vakanga vakamira pamberi payo, “Mubvisei nguo dzakasviba.” Yakabva yati kwaari: “Hona, ndabvisa kukanganisa kwako* pauri, uye uchapfekedzwa nguo dzakanaka.”*+

5 Saka ndakati: “Ngavamupfekedze ngowani* yakachena.”+ Vakabva vamupfekedza ngowani yakachena, uye vakamupfekedzawo nguo; uye ngirozi yaJehovha yakanga yakamira pedyo. 6 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Joshua: 7 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kana ukafamba munzira dzangu, uye ukaita basa rako pamberi pangu, uchava mutongi muimba yangu+ uye uchachengeta* zvivanze zvangu; uye ndichakubvumira kuuya pane ava vakamira pano.’

8 “‘Inzwa, iwe Mupristi Mukuru Joshua, iwe neshamwari dzako dzinogara pamberi pako, nekuti varume ava vanotova chiratidzo; inzwa, ndiri kuunza mushumiri wangu+ anonzi Nhungirwa!+ 9 Tarisa uone dombo randaisa pamberi paJoshua! Maziso manomwe ari padombo racho; uye ndiri kunyora pariri ndichiita zvekutemerera,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye ndichabvisa mhosva yenyika iyoyo nezuva rimwe chete.’+

10 “‘Zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘mumwe nemumwe wenyu achashevedza muvakidzani wake kuti auye pasi pemuzambiringa wake uye pasi pemuonde wake.’”+

4 Ngirozi yakanga ichitaura neni yakadzoka, ikandimutsa sezvinoitwa munhu akarara. 2 Yakabva yati kwandiri: “Uri kuonei?”

Ini ndikati: “Ndiri kuona chigadziko chemarambi chakagadzirwa negoridhe chete,+ chine ndiro pamusoro. Pane marambi manomwe ari pachigadziko chacho,+ marambi manomwe; uye marambi acho, ayo ari pamusoro pechigadziko chacho ane pombi nomwe. 3 Pane miorivhi miviri iri pedyo nacho,+ mumwe uri kurudyi rwendiro uye mumwe uri kuruboshwe.”

4 Ndakabva ndabvunza ngirozi yakanga ichitaura neni kuti: “Ishe wangu, zvinhu izvi zvinorevei?” 5 Ngirozi yakanga ichitaura neni yakabva yati: “Hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?”

Ini ndikati: “Handizivi, ishe wangu.”

6 Yakabva yati kwandiri: “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘“Hazviitwi neuto, kana nesimba,+ asi nemweya wangu,”+ anodaro Jehovha wemauto. 7 Uri chii, iwe gomo guru? Uchava nyika yakati sandara+ pamberi paZerubhabheri.+ Iye achabudisa dombo repamusoro uye pachange pachishevedzerwa kuti: “Rakanaka! Rakanaka chaizvo!”’”

8 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 9 “Maoko aZerubhabheri ndiwo avaka faundesheni yeimba iyi,+ uye maoko ake ndiwo achapedzisa imba yacho.+ Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwamuri. 10 Nekuti ndiani ashora zuva rezvinhu zvidiki?*+ Nekuti vachafara uye vachaona Zerubhabheri akabata tambo yekururamisa mudhuri pakuvaka.* Maziso manomwe aya ndeaJehovha, uye maziso acho ari kutenderera nenyika yese.”+

11 Ndakabva ndaibvunza kuti: “Miorivhi miviri iyi iri kurudyi rwechigadziko chemarambi nekuruboshwe rwacho inorevei?”+ 12 Ndakaibvunza kechipiri ndichiti: “Tumapazi* twemiorivhi miviri twuri kudurura mafuta akaita segoridhe achipinda nemupombi mbiri dzegoridhe tunorevei?”

13 Yakabva yati kwandiri: “Hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?”

Ini ndikati: “Handizivi, ishe wangu.”

14 Iyo ikati: “Ava ndivo vakazodzwa vaviri vakamira pedyo naIshe wenyika yese.”+

5 Ndakasimudzazve musoro ndikaona gwaro* raibhururuka. 2 Ngirozi yacho yakati kwandiri: “Uri kuonei?”

Ini ndikati: “Ndiri kuona gwaro riri kubhururuka, rakareba makubhiti* 20, uye rakafara makubhiti 10.”

3 Yakabva yati kwandiri: “Uku ndiko kutuka kuri kuenda panyika yese, nekuti vanhu vese vari kuba+ havasi kurangwa kunyange zvazvo rimwe divi regwaro racho rakanyorwa kuti vanofanira kurangwa; uye vanhu vese vari kupika mhiko+ havasi kurangwa, kunyange zvazvo rimwe divi raro rakanyorwa kuti vanofanira kurangwa. 4 ‘Ndatuma kutuka kwacho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye kuchapinda muimba yembavha nemuimba yeuya anoita mhiko yenhema muzita rangu; uye kuchagara muimba yacho, kwoiparadza iyo nematanda ayo nematombo ayo.’”

5 Ngirozi yaitaura neni yakabva yauya ikati kwandiri: “Simudza musoro uone chiri kubuda icho.”

6 Ndakabva ndati: “Chii ichocho?”

Iyo ikati: “Uyu ndiwo mudziyo weefa* uri kubuda.” Yakabva yati: “Uku ndiko kutaridzika kwavo munyika yese.” 7 Zvino ndakaona kuti chivharo cheraundi chakagadzirwa nemutobvu chakasimudzwa, uye mumudziyo wacho maiva nemukadzi ainge akagara. 8 Yakabva yati: “Uyu ndiye anonzi Uipi.” Yakabva yamudzorera mumudziyo wacho weefa, ikauvhara nechivharo chacho chemutobvu.

9 Ndakasimudza musoro ndikaona kuchiuya vakadzi vaviri vachibhururuka mumhepo. Vaiva nemapapiro akaita seeshuramurove. Vakasimudza mudziyo wacho vakaenda nawo pakati pematenga nenyika. 10 Saka ndakabvunza ngirozi yakanga ichitaura neni kuti: “Vari kuenda kupi nemudziyo weefa?”

11 Yakapindura kuti: “Kunyika yeShinari*+ kunomuvakira imba; uye kana yapera, mukadzi wacho achaiswa ikoko, kunzvimbo yake yakamukodzera.”

6 Ndakasimudzazve musoro ndikaona ngoro ina dzaibva pakati pemakomo maviri, uye makomo acho aiva emhangura. 2 Ngoro yekutanga yaiva nemabhiza matsvuku, uye ngoro yechipiri yaiva nemabhiza matema.+ 3 Ngoro yechitatu yaiva nemabhiza machena, uye ngoro yechina yaiva nemabhiza ane tumavara tudiki nemakamba-makamba.+

4 Ndakabvunza ngirozi yaitaura neni kuti: “Ishe wangu, izvi zvinorevei?”

5 Ngirozi yacho yakandipindura kuti: “Iyi ndiyo mweya mina+ yekudenga iri kubuda pashure pekunge yamira pamberi paIshe wenyika yese.+ 6 Iya* ine mabhiza matema iri kuenda kunyika yekuchamhembe;+ mabhiza machena ari kuenda mhiri kwegungwa; uye ane tumavara tudiki ari kuenda kunyika yekumaodzanyemba. 7 Mabhiza ane makamba-makamba aida chaizvo kuenda kunotenderera pasi rese.” Yakabva yati: “Endai munotenderera pasi rese.” Iwo akatanga kufamba panyika yese.

8 Yakabva yashevedzera kwandiri, ikati: “Tarisa uone, mabhiza ari kuenda kunyika yekuchamhembe aita kuti mweya waJehovha uve munyika yekuchamhembe.”

9 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 10 “Tora zvinhu zvinaHeridhai, naTobhija, naJedhaya zvavakabva nazvo kuvanhu vakatapwa; uye zuva iroro unofanira kuenda kumba kwaJosiya mwanakomana waZefaniya pamwe chete neava vakabva kuBhabhironi. 11 Unofanira kutora sirivha negoridhe wogadzira korona,* woipfekedza mupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki. 12 Uti kwaari,

“‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Heuno murume anonzi Nhungirwa.+ Achatungira panzvimbo yake, uye achavaka temberi yaJehovha.+ 13 Ndiye achavaka temberi yaJehovha, uye ndiye achakudzwa. Achagara pachigaro chake cheumambo otonga, uye achavawo mupristi pachigaro chake cheumambo,+ uye zviviri zvacho* zvichashanda pamwe chete.* 14 Korona yacho ichava mucherechedzo wekuyeuka Heremu, naTobhija, naJedhaya,+ naHeni mwanakomana waZefaniya mutemberi yaJehovha. 15 Vaya vari kure vachauya, vovakawo temberi yaJehovha.” Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwamuri. Izvi zvichaitika kana mukaramba muchiteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.’”

7 Mugore rechina raMambo Dhariyasi, shoko raJehovha rakauya kuna Zekariya+ pazuva rechina remwedzi wechi9, kureva mwedzi waKisrevhi.* 2 Vanhu vekuBheteri vakatuma Sharezeri naRegemu-mereki nevarume vake kuti vanoteterera kunzwirwa nyasha naJehovha, 3 vachiti kuvapristi veimba* yaJehovha wemauto, nekuvaprofita: “Ndicheme here mumwedzi wechishanu,+ ndisingadyi, sezvandakaita kwemakore aya akawanda?”

4 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 5 “Iti kuvanhu vese vemunyika yacho uye kuvapristi, ‘Pamaitsanya uye pamaichema mumwedzi wechishanu uye mumwedzi wechi7+ kwemakore 70,+ maitsanyira ini here? 6 Pamaidya nepamainwa, maisangoitira kuti mungozvigutsa here? 7 Hamufaniri here kuteerera mashoko akaziviswa naJehovha achishandisa vaprofita vekare,+ muJerusarema nemumaguta akaripoteredza pamakanga muchiine vanhu uye muine runyararo, uye muNegebhu nemuShefera pamakanga muchiine vanhu?’”

8 Shoko raJehovha rakauyazve kuna Zekariya, richiti: 9 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Tongai zvakarurama,+ uye ratidzanai rudo rusingachinji,+ muchinzwirana tsitsi. 10 Musabiridzira chirikadzi kana nherera,+ kana mutorwa+ kana murombo;+ uye musarongerana zvakaipa mumwoyo menyu.’+ 11 Asi ivo vaingoramba kuteerera,+ uye vaizvikudza vachiramba kundinzwa,+ vachiisa zvimiti munzeve kuti varege kunzwa.+ 12 Vakaita kuti mwoyo yavo iite sedhaimondi*+ uye vaisateerera mutemo* nemashoko akapiwa vaprofita vekare naJehovha wemauto achishandisa mweya wake.+ Saka Jehovha wemauto akatsamwa kwazvo.”+

13 “‘Havana kuteerera pandaishevedzera,*+ saka neniwo handina kuvateerera pavaishevedzera,’+ anodaro Jehovha wemauto. 14 ‘Ndakavaparadzira vachienda kumarudzi ese avakanga vasingazivi ndichishandisa dutu,+ uye nyika yacho yakasara iri dongo, pasina aipfuura nemairi kana kudzoka mairi;+ nekuti vakaita kuti nyika yakanaka ive chinhu chinotyisa kutarisa.’”

8 Shoko raJehovha wemauto rakauyazve, richiti: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndichashingairira Ziyoni kwazvo,+ uye ndichazviita ndakatsamwa chaizvo.’”

3 “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzokera kuZiyoni+ ndogara muJerusarema;+ uye Jerusarema richanzi guta rechokwadi,*+ uye gomo raJehovha wemauto richanzi gomo dzvene.’”+

4 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Harahwa nechembere dzichagarazve mumisika yeJerusarema, dzakura zvekuti mumwe nemumwe anenge aine mudonzvo wake.+ 5 Uye misika yeguta ichazara nevakomana nevasikana vanenge vachitamba.’”+

6 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kunyange zvazvo mazuva iwayo vaya vachasara pavanhu ava vangaona sezvakanyanya kuoma, zvinganyanyawo kuoma kwandiri here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”

7 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dziri kumabvazuva nekumavirira.+ 8 Ndichavaunza, uye vachagara muJerusarema.+ Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo+ akatendeka uye akarurama.’”*

9 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Maoko enyu ngaasimbe,*+ imi muri kunzwa mashoko aya ari kutaurwa nevaprofita,+ iwo mashoko akataurwawo pazuva rakavakwa faundesheni yeimba yaJehovha wemauto, kuti temberi ivakwe. 10 Nguva iyoyo isati yasvika vanhu vaisabhadharwa basa ravanenge vaita uye rinenge raitwa nezvipfuwo;+ uye vanhu vaitadza kufamba nemhaka yemuvengi, nekuti ndakaita kuti vese vapandukirane.’

11 “‘Asi iye zvino handizoitiri vanhu ava vakasara zvandakamboita kare,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. 12 ‘Nekuti mbeu yerugare ichadyarwa; muzambiringa uchabereka michero, nyika ichabereka,+ uye denga richapa dova raro. Ndichaita kuti zvinhu zvese izvi zvive nhaka yevakasara.+ 13 Imi imba yaJudha neimba yaIsraeri, makava vanhu vanotukwa nemarudzi,+ asi ini ndichakuponesai, uye muchava chikomborero.+ Musatya!+ Maoko enyu ngaave nesimba.’*+

14 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, ‘“Sekusarudza kwandakaita kukuunzirai dambudziko pamusana pekuti madzitateguru enyu akanditsamwisa, ndikasachinja pfungwa,”*+ anodaro Jehovha wemauto, 15 “panguva ino ndasarudzawo kuitira Jerusarema neimba yaJudha zvinhu zvakanaka.+ Musatya!”’+

16 “‘Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi,+ uye mitongo yamunopa pamagedhi enyu ngaitsigire chokwadi uye ngaiite kuti pave nerugare.+ 17 Musarongerana zvakaipa mumwoyo menyu,+ uye musada mhiko yenhema;+ nekuti zvese izvi zvinhu zvandakavenga,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

18 Shoko raJehovha wemauto rakauyazve kwandiri, richiti: 19 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kutsanya kunoitwa mumwedzi wechina,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechishanu,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechi7,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechi10+ kuchava nguva yekupembera nemufaro kuvanhu veimba yaJudha, ichava mitambo yekufara chaizvo.+ Saka idai chokwadi nerugare.’

20 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Zvichatoitika, uye marudzi nevagari vemumaguta mazhinji vachauya; 21 uye vagari vemune rimwe guta vachaenda kune rimwe guta, voti: “Ngatiendei kunoteterera Jehovha nemwoyo wese kuti atinzwire nyasha uye kunotsvaga Jehovha wemauto. Neniwo ndichaenda.”+ 22 Vanhu vazhinji nemarudzi ane simba vachauya kuzotsvaga Jehovha wemauto muJerusarema+ uye kuzoteterera Jehovha kuti avanzwire nyasha.’

23 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Mazuva iwayo varume gumi vemitauro yese yemarudzi+ vachabata, chokwadi vachanyatsobata nguo* yemuJudha,* vachiti: “Tinoda kuenda nemi,+ nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.”’”+

9 Mutongo:

“Jehovha ane shoko rekutonga nyika yeHadraki,

Uye paDhamasiko ndipo parakananga,+

Nekuti ziso raJehovha riri pavanhu+

Nepamadzinza ese aIsraeri.

 2 Shoko rake nderekutongawo Hamati+ yayakaganhurana nayo,

Uye Tire+ neSidhoni,+ nekuti dzakachenjera chaizvo.+

 3 Tire yakazvivakira rusvingo runodzivirira.

Yakaunganidza sirivha sevhu

Uye goridhe sevhu remumigwagwa.+

 4 Jehovha achaitorera zvinhu zvayo,

Uye achauraya uto rayo orinyudza mugungwa;*+

Ichapiswa nemoto.+

 5 Ashkeroni ichazviona yotya;

Gaza icharwadziwa chaizvo,

Uye Ekroni icharwadziwawo nekuti uya wayaivimba naye anyadziswa.

Mambo achaparara muGaza,

Uye Ashkeroni haizogarwi.+

 6 Mwanakomana asiri wepamutemo achagara muAshdhodhi,

Uye ndichabvisa kuzvikudza kunoita muFiristiya.+

 7 Ndichabudisa zvinhu zvine ropa zviri mukanwa make

Nezvinhu zvinosemesa zvaakaruma nemazino ake,

Uye iye achasara kuti ave waMwari wedu;

Achaita saishe munyika yeJudha,+

Uye vanhu vekuEkroni vachaita sevaJebhusi.+

 8 Ndichadzika tende rekuti ndirinde imba yangu,+

Kuti pasava neanopfuura nepo kana anodzoka nepo;

Uye hapana mukuru webasa* achapfuura nepo zvakare,+

Nekuti iye zvino ndazviona* nemaziso angu.

 9 Pembera nemufaro, iwe mwanasikana weZiyoni.

Shevedzera nemufaro wekukunda, iwe mwanasikana weJerusarema.

Ona! Mambo wako ari kuuya kwauri.+

Akarurama uye ari kuunza ruponeso,*

Anozvininipisa+ uye akatasva dhongi,

Akatasva dhongi diki,* iye mwana wedhongi.+

10 Ndichabvisa ngoro dzehondo dziri kwaEfremu

Nemabhiza ari muJerusarema.

Uta hwehondo huchabviswa.

Achazivisa marudzi nezverugare;+

Utongi hwake huchabvira kugungwa kusvikira kugungwa

Uye kubvira kuRwizi* kusvikira kumigumo yenyika.+

11 Asi iwe mukadzi, ndichabudisa vanhu vako vakasungwa mugomba risina mvura

Ndichishandisa ropa resungano yako.+

12 Dzokai kunhare* imi vasungwa vane tariro.+

Nhasi ndiri kukuudza kuti,

‘Ndichakupa migove miviri iwe mukadzi.+

13 Nekuti ndichakombamisa Judha seuta hwangu.

Ndichaisa Efremu pauta,*

Uye ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni,

Kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi,

Uye ndichaita kuti uite sebakatwa remurwi ane simba.’

14 Jehovha achaonekwa ari pamusoro pavo,

Uye museve wake uchaenda semheni.

Changamire Ishe Jehovha acharidza hwamanda,+

Uye achaenda kunorwisa nemadutu ekumaodzanyemba.

15 Jehovha wemauto achavarwira,

Uye vachaparadza zvipfuramabwe voita kuti zvishaye basa.+

Vachanwa voshevedzera nemufaro sevanhu vanwa waini;

Uye vachaita sendiro yazadzwa,

Semakona eatari ati chakwata.+

16 Zuva iroro, Jehovha Mwari wavo achavaponesa

Sezvinoita mufudzi ari kununura makwai ake;+

Nekuti vachaita sematombo anoshongedza korona ari kupenya munyika yake.+

17 Nekuti akanaka kwazvo,+

Uye runako rwake runonwisa mvura!

Zvekudya zvichaita kuti majaya akure,

Uye waini itsva ichaita kuti mhandara dzikure.”+

10 “Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura panguva yemasutso.*

Jehovha ndiye anoita kuti pave nemakore emvura ine dutu,

Ndiye anovanayisira mvura,+

Uye ndiye anopa vese zvinomera mumunda.

 2 Nekuti zvidhori zvakataura* nhema;*

Uye vanofembera vakaona zvinhu zvenhema.

Vanotaura hope dzenhema,

Uye vanoedza kunyaradza asi hazvibatsiri.

Ndokusaka vachadzungaira semakwai.

Vachatambudzika, nekuti hapana mufudzi.

 3 Ndakatsamwira vafudzi kwazvo,

Uye ndichatonga vatungamiriri vane udzvinyiriri;*

Nekuti Jehovha wemauto afunga makwai ake,+ iyo imba yaJudha,

Uye aita kuti vaite sebhiza rake rinodadisa muhondo.

 4 Kwaari ndiko kunobva mutungamiriri,*

Kwaari ndiko kunobva mutongi* anomutsigira,

Kwaari ndiko kunobva uta hwehondo;

Kwaari ndiko kunobva vatariri vese;* vese zvavo vanobva kwaari.

 5 Vachaita sevarwi vane simba,

Vachitsika-tsika matope emumigwagwa muhondo.

Vacharwa, nekuti Jehovha anavo;+

Uye vatasvi vemabhiza vachanyadziswa.+

 6 Ndichaita kuti imba yaJudha ive nesimba,

Uye ndichaponesa imba yaJosefa.+

Ndichavadzosa,

Nekuti ndichavanzwira tsitsi;+

Uye vachaita sevanhu vandisina kumbobvira ndarasa;+

Nekuti ndini Jehovha Mwari wavo, uye ndichavapindura.

 7 Vanhu vekwaEfremu vachaita semurwi ane simba,

Uye mwoyo yavo ichafara sevanhu vanwa waini.+

Vanakomana vavo vachazviona vofara;

Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.+

 8 ‘Ndichavaridzira muridzo ndovaunganidza;

Nekuti ndichavadzikinura,+ uye vachava vazhinji,

Voramba vachiwanda.

 9 Kunyange ndichivamwaya pakati pemarudzi sembeu,

Vachandiyeuka vari kunzvimbo dziri kure;

Ivo nevanakomana vavo vachavazve nesimba, vodzoka.

10 Ndichavadzosa kubva kunyika yeIjipiti

Uye ndichavaunganidza kubva kuAsiriya;+

Ndichavaunza munyika yeGiriyedhi+ neRebhanoni,

Uye vachange vasisina nzvimbo inovakwanira.+

11 Anofanira kupfuura nemugungwa, oritambudza;

Uye acharova mafungu mugungwa;+

Mvura yakadzika iri muna Nire ichaoma.

Asiriya inozvikudza ichaninipiswa,

Uye tsvimbo yeumambo yeIjipiti ichabva.+

12 Ini Jehovha ndichaita kuti vave nesimba,+

Uye vachafamba nezita rangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

11 “Vhura masuo ako, iwe Rebhanoni,

Kuti moto uparadze misidhari yako.

 2 Ridza mhere iwe mujunipa, nekuti musidhari wadonha;

Miti mikuru yaparadzwa!

Ridzai mhere imi mioku yekuBhashani,

Nekuti sango rizere miti raparara!

 3 Inzwai! Vafudzi vari kuridza mhere,

Nekuti kukudzwa kwavo kwaparara.

Inzwai! Shumba dzine simba* dziri kudzvova,

Nekuti mabvokocho esango ekuJodhani aparadzwa.

4 “Zvanzi naJehovha Mwari wangu, ‘Fudza makwai ari kungochengeterwa kuurayiwa,+ 5 ayo anourayiwa nevanoatenga+ asi vasingapiwi mhosva. Vaya vanoatengesa+ vanoti, “Jehovha ngaarumbidzwe, nekuti ndichapfuma.” Vafudzi vawo havaanzwiri tsitsi.’+

6 “‘Nekuti handizonzwirizve tsitsi vagari vemunyika yacho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Saka ndichaita kuti munhu wese adzvinyirirwe nemumwe wake uye namambo wake; vachaparadza nyika yacho, uye ini handizovanunuri muruoko rwavo.’”

7 Ndakatanga kufudza makwai aingochengeterwa kuurayiwa,+ kuti ndikubatsirei imi makwai anotambudzika. Saka ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Kufarirwa, imwe ndikaiti Kubatana,+ ndikatanga kufudza makwai acho. 8 Mumwedzi mumwe chete ndakadzinga vafudzi vatatu, nekuti ndainge ndaneta navo, uye naivowo vaindivenga. 9 Uye ndakati: “Handicharambi ndichikufudzai. Riri kufa ngarife uye riri kuparara ngariparare. Anenge asara ngaadyanane.” 10 Ndakabva ndatora tsvimbo yangu yainzi Kufarirwa,+ ndikaityora-tyora, ndichiputsa sungano yangu yandakanga ndaita nevanhu vacho vese. 11 Saka yakaputswa zuva iroro, uye makwai aitambudzika ainge akanditarisa akaziva kuti raiva shoko raJehovha.

12 Ndakabva ndati kwavari: “Kana zvichiita ndipei mubhadharo wangu; asi kana zvisingaiti, regai zvenyu.” Vakabva vandibhadhara* masirivha 30.+

13 Jehovha akabva ati kwandiri: “Akande munochengeterwa pfuma; ndiwo mutengo mukuru wavakafunga kuti wakandikodzera.”+ Saka ndakatora masirivha acho 30 ndikaakanda munochengeterwa pfuma paimba yaJehovha.+

14 Ndakabva ndatyora-tyora tsvimbo yangu yainzi Kubatana,+ ndichidimbura ukama huri pakati paJudha naIsraeri.+

15 Zvino Jehovha akati kwandiri: “Chitora midziyo yemufudzi asingabatsiri.+ 16 Nekuti ndiri kurega munyika yacho muchiva nemufudzi. Haazochengeti makwai ari kuparara;+ haazotsvagi aya achiri madiki kana kurapa aya akakuvara+ kana kupa zvekudya aya anokwanisa kumira. Asi anodya gwai rakakora+ uye anobvisa mahwanda emakwai.+

17 Ane nhamo mufudzi wangu asina zvaanobatsira,+ ari kusiya makwai!+

Bakatwa richatema ruoko rwake neziso rake rekurudyi.

Ruoko rwake rwese ruchaoma,

Uye ziso rake rekurudyi richatadza kuona zvachose.”*

12 Shoko rinokosha:

“Iri ndiro shoko raJehovha pamusoro paIsraeri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

Uyo akatambanudza denga,+

Uye akavaka nheyo dzenyika,+

Akasika upenyu huri mumunhu.*

2 “Ndiri kuita kuti Jerusarema rive kapu inoita kuti marudzi ese akaripoteredza adzedzereke; Judha ichakombwa uye Jerusarema richakombwawo.+ 3 Zuva iroro ndichaita kuti Jerusarema rive dombo rinoremera marudzi ese. Vese vanorisimudza vachakuvadzwa zvakaipisisa;+ uye marudzi ese epanyika achauya kuzorirwisa.+ 4 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichavhundutsa mabhiza ese uye ndichapengesa vatasvi vawo. Maziso angu acharamba ari paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ese emarudzi. 5 Madzishe eJudha achati mumwoyo mawo, ‘Vagari vemuJerusarema ndivo vanoita kuti ndive nesimba rinobva kuna Jehovha wemauto, Mwari wavo.’+ 6 Zuva iroro ndichaita kuti madzishe eJudha aite sehari ine moto iri pakati pehuni uye sezhenje remoto riri pazvirimwa zvachekwa zvakarongwa mumutsetse,+ uye vachaparadza marudzi ese ari kurudyi uye ari kuruboshwe;+ uye vagari vemuJerusarema vachagarazve munzvimbo yavo, imo muJerusarema.+

7 “Jehovha achatanga aponesa matende aJudha, kuti runako rweimba yaDhavhidhi nerunako rwevagari vemuJerusarema rusanyanya kupfuura runako rwaJudha. 8 Zuva iroro Jehovha achadzivirira vagari vemuJerusarema kumativi ese;+ zuva iroro, munhu asina simba kupfuura vese* pakati pavo achaita saDhavhidhi, uye imba yaDhavhidhi ichaita saMwari, ichaita sengirozi yaJehovha iri kuvatungamirira.+ 9 Uye zuva iroro handizoregi kuparadza marudzi ese anouya kuzorwisa Jerusarema.+

10 “Ndichadururira mweya wenyasha newekuteterera paimba yaDhavhidhi nepavagari vemuJerusarema, uye vachatarisa uya wavakabaya,+ vomuchema sevari kuchema mwanakomana wavo mumwe chete; uye vachamuchema zvinopisa tsitsi sevari kuchema mwanakomana wedangwe. 11 Zuva iroro muJerusarema muchava nemhere huru, semhere yepaHadhadhirimoni muBani reMegidho.+ 12 Nyika icharidza mhere, mhuri imwe neimwe iri yega; mhuri yekwaDhavhidhi iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; mhuri yekwaNatani+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; 13 mhuri yekwaRevhi+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; mhuri yevaShimei+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; 14 nedzimwe mhuri dzese, mhuri imwe neimwe iri yega, uye vakadzi vemumhuri dzacho vari vega.

13 “Zuva iroro vanhu veimba yaDhavhidhi nevagari vemuJerusarema vachachererwa tsime rekuvachenesa pachivi uye pazvinhu zvisina kuchena.+

2 “Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “ndichadzima mazita ezvidhori munyika yacho+ uye hapana anozozvirangarira; ndichabvisawo vaprofita+ pamwe chete nemweya wetsvina munyika yacho. 3 Uye kana munhu akaprofitazve, baba vake naamai vake vakamubereka vachati kwaari, ‘Hausi kuzorarama, nekuti wataura nhema muzita raJehovha.’ Baba vake naamai vake vachamubayira kuprofita kwake.+

4 “Zuva iroro muprofita wese achanyara nezvaanooneswa paanoprofita; uye haazopfeki nguo yebasa yakagadzirwa nemvere+ kuti anyengere vanhu. 5 Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi, nekuti pane akanditenga ndichiri mudiki.’ 6 Uye kana mumwe munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda aya ari pakati pemapfudzi ako* akakonzerwa nei?’ Iye achati, ‘Ndakakuvara ndiri mumba meshamwari dzangu.’”*

 7 “Iwe bakatwa, muka urwise mufudzi wangu,+

Urwise murume wandinoshamwaridzana naye,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.

“Rova mufudzi,+ makwai apararire;+

Ndichasimudza ruoko rwangu ndichirwisa vaya vasingakoshi.”

 8 “Munyika yacho yese,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Muchaurayiwa zvikamu zviviri zvevanhu, zvobva zvaparara;

Uye muchasara muine chikamu chechitatu.

 9 Ndichaita kuti chikamu chechitatu chipfuure nemumoto;

Ndichavanatsa sekunatswa kunoitwa sirivha,

Uye ndichavaedza sekuedzwa kunoitwa goridhe.+

Vachadana zita rangu

Uye ndichavapindura.

Ndichati, ‘Ivo vanhu vangu,’+

Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’”

14 “Inzwa! Zuva racho riri kuuya, iro zuva raJehovha, vanhu pavachagovana zvinhu zvako* zvakapambwa vari mauri. 2 Ndichaunganidza marudzi ese kuti arwise Jerusarema; uye guta racho richatorwa, zvinhu zvichapambwa mudzimba, uye vakadzi vachabatwa chibharo. Hafu yevanhu vari muguta ichatapwa, asi vanhu vachasara havazobviswi muguta racho.

3 “Jehovha achabuda orwisa marudzi iwayo+ sezvaanoita pazuva rehondo.+ 4 Zuva iroro tsoka dzake dzichatsika muGomo reMiorivhi,+ iro rakatarisana neJerusarema kumabvazuva; uye Gomo reMiorivhi richatsemuka nepakati, kubva kumabvazuva kusvika kumavirira,* pova nemupata wakakura; uye hafu yegomo racho ichaenda kuchamhembe, imwe hafu yacho yoenda kumaodzanyemba. 5 Muchatizira mumupata wemakomo angu, nekuti mupata wemakomo acho uchasvika kuAzeri. Muchatotiza sezvamakaita pakaitika kudengenyeka kwenyika mumazuva aMambo Uziya weJudha.+ Jehovha Mwari wangu achauya, uye achange aine vatsvene vese.+

6 “Zuva iroro hakuzovi nechiedza chinopenya;+ zvinhu zvichagwamba.* 7 Richava zuva rimwe chete rinozivikanwa seraJehovha.+ Harizovi nemasikati kana usiku; uye pachava nechiedza panguva yemanheru. 8 Zuva iroro, mvura mhenyu+ ichayerera ichibva muJerusarema,+ hafu yayo ichienda kugungwa rekumabvazuva*+ imwe hafu ichienda kugungwa rekumavirira.*+ Zvichaitika muzhizha nemuchando. 9 Uye Jehovha achava Mambo panyika yese.+ Zuva iroro pachava naJehovha mumwe chete,+ uye achava nezita rimwe chete.+

10 “Nyika yacho yese ichaita seArabha,+ kubvira kuGebha+ kusvika kuRimoni+ iri kumaodzanyemba kweJerusarema; uye Jerusarema richamirazve munzvimbo yaraimbova, rogarwa,+ kubvira kuGedhi raBhenjamini+ kusvika kunzvimbo yeGedhi Rekutanga, kunosvika kuGedhi Repakona, uye kubvira kuShongwe yaHananeri+ kusvika kuzvisviniro zvewaini zvamambo. 11 Jerusarema richagarwa nevanhu; harizombopiwizve mutongo wekuparadzwa+ uye vanhu vachagara mariri vasina chekutya.+

12 “Iri ndiro denda richashandiswa naJehovha kurova marudzi ese anorwisa Jerusarema:+ Nyama yavo ichaora vakamira, maziso avo achaorera mukati, uye rurimi rwemumwe nemumwe ruchaorera mukanwa.

13 “Zuva iroro Jehovha achaita kuti vavhiringidzike zvikuru; mumwe nemumwe achabata ruoko rweshamwari yake, uye vacharwisana vega.+ 14 Judha achavawo muhondo yacho kuJerusarema; uye pfuma yemarudzi ese akapoteredza ichaunganidzwa, iro goridhe nesirivha nenguo zvakawanda kwazvo.+

15 “Uye denda rakafanana nairoro richauyawo pamabhiza, manyurusi, ngamera, madhongi, nezvipfuwo zvese zviri mumisasa yacho.

16 “Pamarudzi ese achauya kuzorwisa Jerusarema, munhu wese achasara achakwidza gore negore+ kunopfugamira* Mambo, iye Jehovha wemauto,+ uye kunoita Mutambo Wematumba.+ 17 Asi kana pamhuri dzese dzepanyika pakava neanotadza kuenda kuJerusarema kuti anopfugamira Mambo, iye Jehovha wemauto, haazonayisirwi mvura.+ 18 Kana vanhu vekuIjipiti vakasauya uye vakasapinda imomo, havazonayisirwi mvura. Asi vacharohwa nedenda rinotumwa naJehovha pamarudzi asingauyi kuMutambo Wematumba. 19 Aya ndiwo marangirwo achaitwa Ijipiti nemhaka yekutadza kwayo uye achaitwa marudzi ese asingauyi kuzoita Mutambo Wematumba.

20 “Zuva iroro mabhero emabhiza achanyorwa kuti ‘Utsvene ndehwaJehovha!’+ Uye hari dzekubikira*+ dziri muimba yaJehovha dzichaita sendiro+ dziri pamberi peatari. 21 Hari dzese dzekubikira dziri muJerusarema nemuJudha dzichava tsvene uye dzichava dzaJehovha wemauto, uye vese vachange vachibayira zvibayiro vachauya vobikira mune dzimwe dzacho. Zuva iroro muimba yaJehovha wemauto hamuzovizve nemuKenani.”*+

Kureva kuti “Jehovha Ayeuka.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Kureva kuti risina masvingo ekurikomberedza.

Kana kuti “mhosva yako.”

Kana kuti “nguo dzepamutambo.”

Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

Kana kuti “ucharinda.”

Kana kuti “remavambo madiki?”

ChiHeb., “akabata dombo; akabata tini.”

Kureva, tumapazi twemuti twakazara nemichero.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “Iyi ndiyo efa,” kureva mudziyo kana kuti tswanda yaishandiswa kuyera uwandu hunosvika efa. Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, Bhabhironia.

Kureva, ngoro.

Kana kuti “korona yakanaka kwazvo.”

Kureva, umambo hwake neupristi hwake.

Kana kuti “zvichashanda pamwe chete kuti zviunze rugare.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Kana kuti “vetemberi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “sedombo rakaoma,” sekuoma kwakaita dombo rinonzi emeri.

Kana kuti “murayiro.”

ChiHeb., “paaishevedzera.”

Kana kuti “rekutendeka.”

Kana kuti “muchokwadi uye mukururama.”

Kana kuti “Shingai.”

Kana kuti “Shingai.”

Kana kuti “ndikasazvidemba.”

Kana kuti “mupendero wenguo.”

ChiHeb., “yemurume wechiJudha.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “uto rayo mugungwa.”

Kana kuti “mudzvinyiriri.”

Zvinoratidza sekuti ari kureva kutambura kwevanhu vake.

Kana kuti “uye anokunda; uye akaponeswa.”

Kana kuti “mukono wedhongi uchiri mudiki.”

Kureva, Yufratesi.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kureva kuti sezvinoitwa museve.

Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.

Kana kuti “vanamwari vemumba vakataura; materafimu akataura.”

Kana kuti “zvinhu zvisinganzwisisiki.”

ChiHeb., “ndichatonga nhongo.”

ChiHeb., “shongwe yepakona,” zvichiratidza kuti munhu anokosha; ishe.

ChiHeb., “hoko,” zvichiratidza kuti anotsigisa; mutongi.

Kana kuti “vakuru vese vebasa.”

Kana kuti “Shumba dzava nezenze.”

ChiHeb., “vandiyerera.”

ChiHeb., “richadzima.”

Kana kuti “mweya wekufema uri mumunhu.”

Kana kuti “uya ari kugumburwa achidonha.”

ChiHeb., “pakati pemaoko ako.” Kureva pachipfuva kana kuti kumusana.

Kana kuti “mevaya vanondida.”

Kureva, guta riri kutaurwa muvhesi 2.

ChiHeb., “kugungwa.”

Kana kuti “zvichatadza kufamba,” zvichiita sezvaomeswa nechando.

Kureva, Gungwa Rakafa.

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Kana kuti “kunonamata.”

Kana kuti “hari dzekubikira dzine muromo muhombe.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu anoita zvekutengesa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe