HABHAKUKI
1 Mashoko anokosha akapiwa muprofita Habhakuki* achiita zvekuratidzwa:
2 Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira riini, imi musinganzwi?+
Ndichasvika riini ndichishevedzera kwamuri kuti mundibatsire pandinorwiswa, imi musingapindiri?*+
3 Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvakaipa?
Nei muchingosiya udzvinyiriri huripo?
Nei ndichingogara ndichiona kuparadzwa kwezvinhu nemhirizhonga?
Uye nei paine kupopotedzana nekunetsana kwakanyanya kudai?
4 Zvino mutemo hausisina simba,
Uye hapachatomboitwi zvakarurama.
Vanhu vakaipa vakomba vanhu vakarurama;
Saka nyaya hadzichatongwi zvakarurama.+
5 “Tarisai pakati pemarudzi muone!
Tarisai makashama miromo yenyu, muchishamisika;
Nekuti pane zvichaitika mumazuva enyu
Zvamusingazobvumi kunyange mukaudzwa nezvazvo.+
Rudzi rwacho runosvika kure panyika,
Ruchitora misha isiri yarwo.+
7 Vanovhundutsa uye vanotyisa.
Vanogadza mitemo yavo vega uye vanozvipa masimba.+
Mabhiza avo ehondo anomhanya kwazvo;
Mabhiza avo anobva kure.
Anomhanya achidzika segondo riri kuenda kunobata chimwe chinhu.+
9 Vese zvavo vanouya vachingoda zvemhirizhonga.+
Pavanoungana, vanenge vakaita semhepo yekumabvazuva,+
Uye vanodyorera nhapwa sejecha.
Vanoseka nzvimbo dzese dzakavakwa zvakasimba;+
Vanounganidza murwi wevhu vodzikunda.
12 Haiwa Jehovha, hamuna kugara muriko nekusingaperi here?+
Haiwa Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamufi.*+
13 Maziso enyu akachena chaizvo zvekuti haangatarisi zvakaipa,
Uye hamugoni kungosiya zvakaipa zvichiitika.+
Saka nei muchingosiya vanhu vanonyengera vakadaro,+
Uye muchingoramba makanyarara munhu akaipa achimedza munhu ari nani paari?+
14 Munoitirei kuti vanhu vaite sehove dzemugungwa,
Sezvinhu zvinokambaira, zvinhu zvisina anozvitonga?
15 Anodhonza* vese ivava nechirauro.
Anovabata mumambure ake ekukukudzisa,
Anovaunganidza mumambure ake ekubatisa hove.
Ndokusaka achipembera nemufaro.+
16 Ndokusaka achipa chibayiro kumambure ake ekukukudzisa
Uye achipa zvibayiro* kumambure ake ekubatisa hove,
Nekuti ndiwo anoita kuti awane zvakanuna,
Uye kuti adye machikichori.
17 Zvino acharamba achingokutura mambure ake ekukukudzisa here?*
Acharamba achingouraya marudzi zvisina tsitsi here?+
Uye ndicharamba ndakarinda kuti ndinzwe mashoko aachandipa kuti nditaure,
Uye kuti ndizive zvandichapindura pandichatsiurwa.
2 Jehovha akabva andipindura kuti:
“Nyora zvauri kuratidzwa, uzvinyore zvinonyatsooneka pamahwendefa,+
3 Nekuti zvauri kuratidzwa zvichaitika panguva yakasarudzwa,
Uye nguva yekuzadziswa kwazvo iri kukurumidza kusvika, hazvizombotadzi kuitika.
Kunyange kana zvikanonoka,* ramba wakazvimirira!*+
Nekuti zvichatoitika chete.
Hazvizononoki!
4 Tarisa munhu anozvikudza;
Mwoyo wake hauna kururama.
Asi munhu akarurama achararama nekutendeka kwake.*+
5 Chokwadi, waini inonyengera,
Saka munhu anozvikudza haazobudiriri kuita zvaakaronga.
Anoramba achingoda kudya seGuva;*
Akaita serufu uye haaguti.
Anoramba achiunganidza marudzi ese
Uye achiunganidza vanhu vese kwaari.+
6 Ko vese ava havazotauri chirevo, nedimikira, nezvirahwe pamusoro pake here?+
Vachati:
‘Ane nhamo iye anozviunganidzira zvinhu zvisiri zvake;
Achazviita kusvikira riini?
Ane nhamo iye anoita kuti chikwereti chake chikure!
7 Vaya vakakukweretesa havazongoerekani vasimuka here?
Vachamuka vokuzunza-zunza,
Uye vachapamba zvinhu zvako.+
8 Mamwe marudzi ese achakupamba
Nekuti wakapamba marudzi mazhinji,+
Ukadeura ropa,
Ukaita mhirizhonga panyika,
Uchirwisa maguta nevanogara maari.+
9 Ane nhamo munhu anopfuma nekuita zvakaipa,
Kuti avake dendere rake pakakwirira,
Achiitira kuti dambudziko risasvika kwaari!
10 Wakarongera imba yako zvinhu zvinoita kuti inyadziswe.
Wakazvitadzira iwe pachako* nekuparadza kwawakaita marudzi mazhinji.+
11 Nekuti dombo richachema riri parusvingo,
Uye richapindurwa nebango repadenga remba.
12 Ane nhamo munhu anovaka guta nekudeura ropa,
Uye anomisa guta nezvinhu zvisina kururama!
13 Inzwa! Jehovha wemauto haasi iye here achaita kuti vanhu vashande zvakaoma asi vachingoshandira kuti moto uwane chekupisa,
Uye kuti marudzi ashandire pasina?+
15 Ane nhamo munhu anopa shamwari dzake chekunwa,
Achichiisa hasha nekutsamwa kuti dzidhakwe,
Kuti adzitarise dzisina kupfeka!
16 Uchaguta nekuzvidzwa panzvimbo pekukudzwa.
Newewo inwa uratidze vanhu kuti hauna kuchecheudzwa.*
Kapu iri muruoko rwaJehovha rwerudyi ichauya kwauri,+
Uye kukudzwa kwako kuchafukidzwa nekunyadziswa;
17 Nekuti ucharwiswa sekurwiswa kwakaitwa Rebhanoni,
Uye kuparadza kuya kwakavhundutsa zvikara kuchauya pauri,
Nekuti wakadeura ropa
Ukaita mhirizhonga panyika,
Uchirwisa maguta nevanogara maari.+
18 Mufananidzo wakavezwa unobatsirei
Zvawakangovezwawo nemunhu?
Mufananidzo wesimbi* nemudzidzisi wenhema zvinobatsirei,
Kunyange zvazvo uya akazvigadzira achivimba nazvo,
Achigadzira vanamwari vasingatauri, vasina zvavanobatsira?+
19 Ane nhamo munhu anoti kudanda, “Muka!”
Kana anoti kudombo risingatauri, “Muka! Tirayiridze!”
20 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene.+
Nyika yese ngairambe yakanyarara pamberi pake.’”+
3 Uyu ndiwo munyengetero wemuprofita Habhakuki, waakaita zvekuimba serwiyo rwemariro:*
2 Jehovha, ndakanzwa nezvenyu.
Ndinoshamiswa kwazvo nebasa renyu Jehovha.
Riitei pakupindana kwemakore acho!*
Makore acho paanenge achipindana, itai kuti rizivikanwe.
Musakanganwa kunzwira tsitsi panguva yezhowezhowe.+
Ukuru hwake hwakafukidza denga;+
Uye nyika yakazadzwa nekurumbidzwa kwake.
Muruoko rwake makabuda mwaranzi mbiri,
Uye ndimo mainge makavanzwa simba rake.
6 Akamira ndokuzunungusa nyika.+
Akaita kuti marudzi akwakuke nekungoatarisa.+
Makomo aya akabvira kare aripo akaputswa,
Zvikomo zvekare zvakakotama.+
Idzi ndidzo nzira dzake kubvira kare.
7 Ndakaona mumatende eKushani muine dambudziko.
Matende enyika yeMidhiyani akazununguka.+
8 Jehovha, makatsamwira nzizi here,
Makatsamwira nzizi kwazvo here?
Makashatirirwa gungwa here?+
9 Mabudisa uta hwenyu uye magadzirira kupfura.
Zvombo zvacho zvine* mhiko yenyu.* (Sera)
Makakamura nyika muchishandisa nzizi.
10 Makomo akazvongonyoka achirwadziwa paakakuonai.+
Dzvotsvotsvo remvura rakapfuura richinaya munyika yacho.
Pakava nekutinhira kwemvura.+
Yakasimudza maoko ayo mudenga.
11 Zuva nemwedzi zvakamira munzvimbo yazvo yekugara iri kumusoro.+
Miseve yenyu yakaenda sezvinoita chiedza.+
Pfumo renyu raipenya semheni.
12 Makafamba panyika makatsamwa.
Makatsika-tsika* marudzi muine hasha.
13 Makaenda kunoponesa vanhu venyu, kuti muponese muzodziwa wenyu.
Makakuya mutungamiriri weimba yevanhu vakaipa.
Yakaputswa kubvira kumusoro kusvika kufaundesheni yayo. (Sera)
Vaifara chaizvo pavaiparadza munhu anotambudzika, vachiita zvekumuhwandira.
15 Makapfuura nemugungwa nemabhiza enyu,
Nemumvura zhinji isina kugadzikana.
16 Ndakanzwa nezvazvo ndikabvunda;
Pandakazvinzwa miromo yangu yakadedera.
Mapfupa angu akapera simba,+
Makumbo angu achidedera.
Asi ndakamirira dambudziko racho chinyararire,+
Nekuti riri kuuya pavanhu vanotirwisa.
17 Kunyange kana muonde ukarega kutumbuka,
Uye mizambiringa ikasabereka;
Kunyange kana miorivhi ikasabereka,
Uye minda ikasabereka zvekudya;
Kunyange kana makwai akapera mudanga,
Uye mumatanga mukasava nemombe;
18 Ini ndichapembera nemufaro muna Jehovha;
Ndichafara muna Mwari, muponesi wangu.+
19 Changamire Ishe Jehovha ndiye simba rangu;+
Achaita kuti tsoka dzangu dziite sedzenondo,
Uye achandifambisa panzvimbo dzakakwirira.+
Kumutungamiriri; nezviridzwa zvangu zvine tambo.
Zvingava zvichireva kuti “Kumbundira.”
Kana kuti “musingaponesi.”
ChiHeb., “simba ravo ndiro mwari wavo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “hatizofi.”
Kana kuti “vatsiure.”
Kureva, muvengi wechiKadheya.
Kana kuti “achipfungaidzira utsi hwezvibayiro.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “achivhomora bakatwa rake here?”
Kana kuti “Kuti zviitire nyore munhu anoverenga zvinonzwika.”
Kana kuti “zvikaita sezviri kunonoka.”
Kana kuti “zvimirire nemwoyo wese!”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nekutenda kwake; nezvaanotenda.”
Kana kuti “seSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Wakatadzira mweya wako.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “inwa udzedzereke.”
Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “rwekushungurudzika.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “panguva yatiri kurarama.”
Kana kuti “dzaiponesa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Miseve yacho ine.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Mhiko dzemadzinza dzataurwa.”
ChiHeb., “Makapura.”
ChiHeb., “kuzondiparadzira.”