NAHUMI
1 Mutongo weNinivhi:+ Bhuku rezvakaratidzwa Nahumi* wekuErikoshi:
2 Jehovha ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara+ uye anotsiva;
Jehovha anotsiva uye akagadzirira kuratidza hasha dzake.+
Jehovha anotsiva mhandu dzake,
Uye anochengeta hasha dzake kuti azodziratidza pavavengi vake.
3 Jehovha anononoka kutsamwa+ uye ane simba guru,+
Asi Jehovha haazomboregi kuranga vanofanira kurangwa.+
Anofamba ari mumhepo inoparadza uye mudutu,
Uye makore ndiwo guruva rinopfumburwa netsoka dzake.+
KuBhashani nekuKameri kuri kuoma,+
Uye maruva eRebhanoni ari kuoma.
Chiso chake chichaita kuti pasi padengenyeke,
Pamwe chete nenyika yacho nevanhu vese vanogara mairi.+
6 Ndiani angamira pamberi pake kana atsamwa?+
Uye ndiani angaramba akamira paanoratidza hasha dzake huru?+
Hasha dzake dzichadururwa semoto,
Uye achaita kuti matombo apwanyike.
7 Jehovha akanaka,+ inhare* pazuva rekutambudzika.+
Anofunga* vaya vanopotera kwaari.+
9 Pane here chamungaronga kuti murwisane naJehovha?
Iye ari kuparadza zvese.
Achaparadza zvekuti haazodzokorodzi.+
10 Vakaita seminzwa yakarukana,
Uye vakaita sevanhu vakadhakwa nedoro;*
Asi vachaparadzwa semashanga akaoma.
11 Mauri muchabuda munhu anorongera Jehovha zvakaipa,
Achipa zano risingabatsiri.
12 Zvanzi naJehovha:
“Kunyange zvazvo vakanga vaine simba uye vari vazhinji,
Vachatemwa vachiwira pasi uye vachafa.*
Ndakakuranga* asi handizokurangi zvakare.
Ndichaparadza mifananidzo yakavezwa nemifananidzo yesimbi* iri muimba* yavanamwari vako.
Ndichakugadzirira guva, nekuti unosemesa.’
Ita mitambo yako+ iwe Judha, zadzisa mhiko dzako,
Nekuti uya asingabatsiri haazopfuurizve nemauri.
Achaparadzwa zvachose.”
2 Munhu anoita kuti vanhu vapararire auya kuzokurwisa.*+
Rinda masvingo.
Ramba wakarinda mugwagwa.
Gadzirira* uye koka simba rako rese.
2 Nekuti Jehovha achaita kuti Jakobho akudzwe sezvaaimboitwa,
Uye achaitawo kuti Israeri akudzwe zvakare,
Nekuti vaparadzi vakavaparadza;+
Uye vakaparadza nhungirwa dzavo.
3 Nhoo dzevarume vake vane simba dzakaiswa ruvara rutsvuku,
Varwi vake vane simba vakapfeka nguo tsvuku.
Pazuva raanogadzirira kurwa,
Simbi dzepangoro dzake dzehondo dzinopenya semoto,
Uye mapfumo ake akagadzirwa nemijunipa anovheyeswa-vheyeswa.
4 Ngoro dzehondo dzinomhanya zvekupengereka mumigwagwa.
Dzinokwidza nekudzika mumisika.
Dzinopenya semwenje uye dzinopenya semheni.
5 Achashevedza vakuru vakuru pavanhu vake.
Vachagumburwa pavanenge vachienda.
Vanomhanyira kurusvingo rwake;
Vanoisa zvekuvhariridza muvengi.
7 Nyaya yacho yasarudzwa: Asiyiwa asina kupfeka,
Aendwa naye, uye varandasikana vake vari kuchema;
Vari kuchema senjiva vachizvirova zvipfuva.
“Mirai! Mirai!”
Asi hapana ari kutendeuka.+
9 Pambai sirivha, pambai goridhe!
Pfuma yacho haiperi.
Yakachengetwa pamwe chete nezvinhu zvakasiyana-siyana zvinokosha.
10 Guta racho harisisina chinhu, zvinhu zvese zvatorwa, raparadzwa!+
Mwoyo yavo yapera nekutya, mabvi avo apera simba, hudyu dzavo dziri kudedera;
Zviso zvavo vese zviri kunetseka.
11 Iri kupi nzvimbo iya inogara shumba,+ muya munodyirwa neshumba dzine simba,*
Muya munobuda shumba ichitungamirira mwana wayo,
Pasina anodzivhundutsa?
12 Shumba yacho yaibvambura-bvambura mhuka dzaikwana kudyiwa nevana vayo
Uye yaiuraya mhuka ichipa hadzi dzayo.
Yaiita kuti mumapako ayo murambe makazara mhuka dzayaibata,
Uye mainogara murambe makazara nemhuka dzakabvamburwa-bvamburwa.
13 “Inzwa! Ndiri kukurwisa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto,+
“Ndichapisira ngoro dzake dzehondo pakati peutsi,+
Uye bakatwa richaparadza shumba dzako dzine simba.*
Ndichaita kuti ushaye mhuka dzekubata panyika,
Uye inzwi renhume dzako harizonzwikizve.”+
3 Rine nhamo guta rekudeura ropa!
Guta rizere neunyengeri neugororo.
Rinogara richingopamba!
2 Tyava iri kurira uye mavhiri ari kutinhira,
Bhiza riri kumhanya kwazvo uye ngoro iri kuuruka.
3 Kune akatasva bhiza, kune bakatwa rinopenya nepfumo rinovaima,
Kune vazhinji vakaurayiwa uye kune mirwi yezvitunha;
Zvitunha zvacho hazviperi.
Vanoramba vachidonhedzwa nezvitunha zvacho.
4 Izvi zviri kuitika nemhaka yeupfambi hwakanyanya hwakaitwa nepfambi,
Hwakaitwa nemukadzi uya ane runako uye anokwezva, iye tenzikadzi wevaroyi,
Uya anoteya marudzi neupfambi hwake uye anoteya mhuri neuroyi hwake.
5 “Inzwa! Ndiri kukurwisa,”* ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto,+
“Ndichafugura nguo yako ndoiisa kumeso kwako;
Ndichaita kuti marudzi akuone usina kupfeka,
Uye kuti madzimambo aone kunyadziswa kwako.
Ndiani achainzwira tsitsi?’
Ndichawana kupi vanokunyaradza?
8 Iwe unopfuura No-amoni*+ here, iyo yakanga iri pedyo nemigero yaNire?+
Yakanga yakapoteredzwa nemvura;
Gungwa ndiro raiva pfuma yayo nerusvingo rwayo.
9 KuItiopiya nekuIjipiti ndiko kwaibva simba rayo risingaperi.
Yaibatsirwa* nePuti+ nevaRibhiya.+
Vana vayo vakadimburwa-dimburwa pamakona ese emigwagwa.
Vanokanda mijenya kuti vagovane varume vayo vanokudzwa,
Uye varume vane mukurumbira pakati payo vasungwa nezvisungo zvemumakumbo.
Uchatsvaga kwekuhwanda muvengi.
12 Nzvimbo dzako dzese dzekuhwanda dzakafanana nemionde ine michero inotanga kuibva;
Kana ikazunzwa, maonde acho anowira mumuromo mevanhu vanoatsenga-tsenga.
13 Inzwa! Mauto ako akaita sevakadzi.
Magedhi enyika yako achange akavhurika kuti vavengi vako vapinde.
Moto uchaparadza mazariro* emagedhi ako.
14 Chera mvura yekuzoshandisa pauchakombwa!+
Simbisa nzvimbo dzako dzekuhwanda.
Pinda mumatope ukanye dhaka;
Tora foroma yezvidhinha.
15 Asi moto uchangokuroromesa imomo.
Bakatwa richakutema-tema.+
Richakuparadza sezvinoitwa nemhashu diki.+
Ivai vazhinji semhashu diki!
Chokwadi wandai semhashu!
16 Wakaita kuti vanhu vako vanotengesa vawande kupfuura nyeredzi dzekudenga.
Mhashu diki inovhunura yobhururuka ichienda.
17 Varindi vako vakaita semhashu,
Uye vakuru vakuru vari pakati pako vakaita semhashu dzinobhururuka dzakawanda.
Musi wakunenge kuchitonhora, dzinomhara mumatanga akavakwa nematombo,
Asi zuva parinobuda, dzinobhururuka dzoenda;
Uye hapana anoziva kwadzinenge dziri.
18 Vafudzi vako vari kutsimwaira, iwe mambo weAsiriya;
Makurukota ako anoramba ari mudzimba dzawo.
Vanhu vako vangova kwese kwese mumakomo,
Uye hapana ari kuvaunganidza.+
19 Dambudziko rako hariperi.
Ronda rako haricharapiki.
Vese vanenge vanzwa zvaitika kwauri vacharova maoko;+
Nekuti hapana asina kutambura neutsinye hwako husingaperi.”+
Kureva kuti “Munyaradzi.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “Anochengeta.” ChiHeb., “Anoziva.”
Kureva, Ninivhi.
Kana kuti “nedoro regorosi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye achapfuura nepakati pavo.”
Kureva, Judha.
Kureva, Asiriya.
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “mutemberi.”
Kureva, Ninivhi.
ChiHeb., “Simbisa hudyu.”
Kana kuti “uchawa.”
Kana kuti “neshumba dzava nezenze.”
Kana kuti “shumba dzava nezenze.”
Kureva, Ninivhi.
Kureva, Tebhesi.
ChiHeb., “Waibatsirwa.”
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.