RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Mika 1:1-7:20
  • Mika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mika
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Mika

MIKA

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Mika*+ wekuMoresheti raakapiwa achiita zvekuratidzwa, pamusoro peSamariya neJerusarema, mumazuva emadzimambo eJudha+ anoti Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya:+

 2 “Inzwai imi marudzi ese!

Teerera iwe nyika nezviri mauri,

Uye Changamire Ishe Jehovha ngaave chapupu chinokupai mhosva,+

Iye Jehovha uyo ari mutemberi yake tsvene.

 3 Nekuti Jehovha ari kubuda achibva munzvimbo yake;

Achaburuka otsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.

 4 Makomo achanyunguduka pasi pake+

Uye mapani achatsemuka,

Sezvinoita namo yaiswa pamoto,

Uye semvura iri kudururirwa pamawere.

 5 Zvese izvi zvichaitika nemhaka yekupanduka kwaJakobho,

Nemhaka yezvivi zveimba yaIsraeri.+

Ndiani akapandutsa Jakobho?

Haisi Samariya here?+

Ndiani akaita kuti Judha ave nenzvimbo dzakakwirira?+

Harisi Jerusarema here?

 6 Ndichaita kuti Samariya isare yangova murwi wematombo panyika,

Nzvimbo yekudyara mizambiringa;

Ndichakanda matombo ayo mubani,

Uye ndichasiya faundesheni yayo yava pachena.

 7 Mifananidzo yayo yakavezwa ichaputswa-putswa yese,+

Uye zvipo zvese zvayaipiwa semubhadharo* zvichapiswa nemoto.+

Ndichaparadza zvidhori zvayo zvese.

Nekuti yakazvipiwa ichibhadharwa upfambi hwayaiita,

Uye zvichava mubhadharo wedzimwe pfambi.”

 8 Ndichachema uye ndicharidza mhere nemhaka yeizvi;+

Ndichafamba ndisina shangu uye ndisina kupfeka.+

Ndichaungudza sehunguhwe,*

Uye ndichachema seshiri inonzi mhou.

 9 Nekuti ronda rayo harirapiki;+

Rasvika kuJudha chaiko.+

Denda racho rapararira kusvika kugedhi revanhu vangu, kuJerusarema.+

10 “Musazvizivisa muGati;

Hamutombofaniri kuchema.

Umburukai muguruva, muBheti-afra.*

11 Endai musina kupfeka uye muchinyara imi vagari vemuShafiri.

Vagari vemuZaanani havana kubuda.

Muguta reBheti-ezeri mucharidzwa mhere, uye harizorambi richikubatsira.

12 Nekuti vagari vemuMaroti vakamirira kuti vawane zvinhu zvakanaka,

Asi zvakaipa ndizvo zvakauya kugedhi reJerusarema zvichibva kuna Jehovha.

13 Sungai mabhiza pangoro, imi vagari vemuRakishi.+

Ndimi makaita kuti mwanasikana weZiyoni atange kutadza,

Nekuti kupanduka kwaIsraeri kwakawanikwa mauri,+ iwe mwanasikana weZiyoni.

14 Saka uchapa Moresheti-gati zvipo zvekuonekana.

Madzimambo eIsraeri akazvinyengedza nekuvimba nedzimba dzekuAkzibhu.+

15 Ndichakuunzirai achakukundai*+ imi vagari vemuMarisha.+

Anokudzwa weIsraeri achasvika* kuAdhuramu.+

16 Zvigerei muparavara, musare musina bvudzi muchiitira vana venyu vamunoda kwazvo.

Zvigerei muparavara muite segondo,

Nekuti matorerwa vana venyu vakaendeswa kuutapwa.”+

2 “Vane nhamo vaya vanoruka mazano akaipa,

Vanoronga zvakaipa vari pamibhedha yavo!

Pakunoyedza vanobva vaita zvinhu zvacho,

Nekuti vane simba rekuzviita.+

 2 Vanochiva minda, voitora nechisimba;+

Vanochivawo dzimba, vachidzitora;

Vonobiridzira vanhu vachivatorera dzimba dzavo+

Nenhaka yavo.

 3 Saka zvanzi naJehovha:

‘Ndiri kuronga kukuunzirai dambudziko+ ramusingagoni kutiza.+

Hamuzofambi muchizvikudza,+ nekuti ichava nguva yekutambudzika.+

 4 Zuva iroro vanhu vachataura chirevo pamusoro pako,

Uye vachakuchema zvinopisa tsitsi.+

Vachati: “Tatorerwa zvinhu zvedu zvese!+

Aita kuti mugove wevanhu vangu upiwe vamwe; inga mugove wangu watotorwa!+

Anopa munhu asina kutendeka minda yedu.”

 5 Saka hauzovi nemunhu anotambanudza tambo yekuyeresa,

Kuti agove nyika muungano yaJehovha.

 6 Mharidzo yavo ndeyekuti, “Regai kuparidza!

Havafaniri kuparidza zvinhu izvi;

Hatizonyadziswi!”

 7 Imi imba yaJakobho, ndizvo here kuti muri kubvunza kuti:

“Mweya waJehovha waneta here?

Ndiye aita izvi here?”

Ko mashoko angu haaiti kuti zvinhu zvinake kune vanoita zvakarurama here?

 8 Asi nguva ichangopfuura, vanhu vangu vakandipandukira semuvengi.

Munobvisa chishongo chakanaka chiri* panguo, muchizviita pachena.

Munochibvisa pavanhu vanopfuura vasina chekutya, vachiita sevaya vanenge vachibva kuhondo.

 9 Munodzinga vakadzi vari pavanhu vangu mudzimba dzavo dzakanaka;

Munobvisa kubwinya kwangu pavana vavo zvachose.

10 Simukai muende, nekuti ino haisi nzvimbo yekuzororera.

Kusachena ndiko kwaita kuti pave nekuparadzwa,+ iko kuparadzwa kunorwadza.+

11 Kana munhu akatevera mhepo uye nhema, onyepa achiti:

“Ndichakuudzai nezvewaini nedoro,”

Vanhu ava vanobva vafarira zvaanoparidza!+

12 Ndichakuunganidzai mese, imi veimba yaJakobho;

Chokwadi ndichaunganidza vaIsraeri vese vakasara.+

Ndichaita kuti vabatane, semakwai ari mudanga,

Semakwai ari kufura pamwe chete;+

Uye imomo muchanzwika ruzha rwevanhu.’+

13 Munhu anopaza pekubuda napo ndiye achange ari pamberi pavo;

Vachapaza vopfuura vachibuda nepagedhi racho.+

Mambo wavo achabuda ari pamberi pavo,

Jehovha achivatungamirira.”+

3 Ndakati: “Teererai, imi vakuru veimba yaJakobho

Nemi vatungamiriri veimba yaIsraeri.+

Hamufaniri kunge muchiziva zvinhu zvakarurama here?

 2 Asi munovenga zvakanaka+ muchida zvakaipa;+

Munobvisa vanhu vangu ganda ravo nenyama yavo pamapfupa avo.+

 3 Munodyawo nyama yevanhu vangu+

Uye munobvisa ganda ravo,

Munotyora mapfupa avo muchiapwanya-pwanya+

Sezvinhu zviri kubikwa muhari uye senyama iri muhari yekubikira.

 4 Panguva iyoyo vachashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,

Asi haazovapinduri.

Achavavanzira chiso chake panguva iyoyo+

Nemhaka yemabasa avo akaipa.+

 5 Zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kutsausa vanhu vangu,+

Vaya vanoti, ‘Rugare!’+ pavanenge vachiruma* nemazino avo+

Asi vachiti munhu wese asingavapi zvekudya anofanira kurwiswa:

 6 ‘Huchava usiku kwamuri;+ hamuzooni chiratidzo;+

Muchangoona rima chete, hamuzofemberi.

Zuva richavirira vaprofita,

Uye masikati achava rima kwavari.+

 7 Vaoni vachanyadziswa,+

Uye vanofembera vachaora mwoyo.

Vese vachabata miromo yavo,*

Nekuti Mwari haazovapinduri.’”

 8 Asi kana ndiri ini, mweya waJehovha wandipa simba guru,

Nekururama neushingi,

Kuti ndiudze Jakobho nezvekupanduka kwake uye Israeri chivi chake.

 9 Inzwai izvi, imi vakuru veimba yaJakobho

Nemi vatungamiriri veimba yaIsraeri+

Vanovenga kururama uye vanomonyanisa zvinhu zvese zvakarurama,+

10 Imi vanovaka Ziyoni vachideura ropa uye vanovaka Jerusarema vachiita zvisina kururama.+

11 Vatungamiriri varo vanotonga kuti vawane chiokomuhomwe,+

Vapristi varo vanodzidzisa kuti vawane mubhadharo,+

Uye vaprofita varo vanofembera kuti vawane mari.*+

Asi vanoti vanovimba naJehovha, vachiti:

“Handiti Jehovha anesu here?+

Hapana dambudziko richatiwira.”+

12 Saka Ziyoni richarimwa semunda

Nemhosva yenyu,

Jerusarema richava matongo,+

Uye gomo rine Imba* yacho richaita senzvimbo dzakakwirira dziri musango.*+

4 Mumazuva ekupedzisira,*

Gomo reimba yaJehovha+

Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,

Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,

Uye marudzi achadirana achienda kwariri.+

 2 Marudzi mazhinji achaenda, oti:

“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha

Uye kuimba yaMwari waJakobho.+

Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,

Uye isu tichafamba mumakwara ake.”

Nekuti mutemo* uchabuda muZiyoni,

Uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.

 3 Achapa mutongo pakati pemarudzi mazhinji+

Oruramisa* zvinhu pakati pemarudzi ari kure ane simba.

Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo

Nemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.+

Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa,

Uye havazodzidzi kurwa zvakare.+

 4 Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake,+

Uye hapana achaita kuti vatye,+

Nekuti muromo waJehovha wemauto wataura.

 5 Nekuti rudzi rumwe nerumwe ruchafamba nezita ramwari warwo,

Asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu+ nariini nariini.

 6 “Pazuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Ndichaunganidza vaya vaikamhina,

Uye ndichaunganidza vaya vakapararira,+

Pamwe chete nevaya vandakarwadzisa.

 7 Ndichaita kuti pane vaya vaikamhina pave nevanosara,+

Uye ndichaita kuti vaya vakaendeswa kure vave rudzi rune simba;+

Uye Jehovha achava mambo wavo achivatonga ari muGomo reZiyoni,

Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.

 8 Asi iwe shongwe yekurinda zvipfuwo,*

Chikomo chemwanasikana weZiyoni,+

Umambo huchauya kwauri, ihwo umambo hwekutanga,*+

Umambo hwemwanasikana weJerusarema.+

 9 Zvino nei uri kushevedzera nenzwi riri pamusoro?

Hauna mambo here,

Chipangamazano wako aparara here,

Zvawava kutorwadziwa kudaro semukadzi ari kusununguka?+

10 Iwe mwanasikana weZiyoni, bhidhirika uye gomera

Semukadzi ari kusununguka,

Nekuti iye zvino wava kubva muguta uchinogara musango.

Uchanosvika kuBhabhironi,+

Uye uchanunurwa ikoko;+

Jehovha achakudzikinura mumaoko evavengi vako ikoko.+

11 Zvino uchaunganirwa nemarudzi mazhinji;

Achati, ‘Ngaasvibiswe,

Uye regai maziso edu aone zvinhu izvi zvichiitika kuZiyoni.’

12 Asi iwo haazivi kuti Jehovha ari kufungei,

Haanzwisisi chinangwa chake;

Nekuti achaaunganidza sezvirimwa zvichangobva kuchekwa zviri kuendeswa paburiro.*

13 Simuka upure, iwe mwanasikana weZiyoni;+

Nekuti ndichachinja nyanga dzako kuti dzive dzesimbi,

Uye ndichachinja mahwanda ako kuti ave emhangura,

Uye uchakuya marudzi mazhinji.+

Uchapa Jehovha pfuma yaiwanikwa nemarudzi acho achibiridzira,

Uye uchapa zvinhu zvawo zvese kuna Ishe wechokwadi uye wenyika yese.”+

5 “Iye zvino uri kuzvicheka-cheka,

Iwe mwanasikana ari kurwiswa;

Takombwa nemuvengi.+

Vanorova mutongi weIsraeri padama netsvimbo.+

 2 Uye iwe Bhetrehema Efrata,+

Iwe mudiki chaizvo zvekuti haukodzeri kuva pakati pezviuru zvaJudha,*

Kwauri kuchabva munhu achava mutongi muIsraeri+ achindimiririra;

Mavambo ake ndeekare kare, ndewemazuva ekare kare.

 3 Saka achavaisa mumaoko emuvengi

Kusvikira mukadzi achasununguka mwana asununguka.

Uye dzimwe hama dzake dzese dzichadzoka kuvaIsraeri.

 4 Achasimuka ofudza makwai nesimba raJehovha,+

Muzita rine mbiri raJehovha Mwari wake.

Vachagara zvakanaka vasina chekutya,+

Nekuti ukuru hwake huchazivikanwa kumigumo yenyika.+

 5 Achaita kuti pave nerugare.+

Kana muAsiriya akapinda munyika yedu nechisimba otsika mushongwe dzedu dzakavakwa zvakasimba,+

Tichamumutsira vafudzi vanomwe, chokwadi tichamumutsira machinda masere* pakati pevanhu, kuti varwe naye.

 6 Vachafudza nyika yeAsiriya nebakatwa,+

Nenyika yaNimrodhi+ munzvimbo dzekupinda nadzo mairi.

Pachapinda muAsiriya munyika yedu nechisimba, otsika-tsika nharaunda yedu,

Iye achatinunura.+

 7 Vanhu vaJakobho vanenge vasara

Vachaita sedova rinobva kuna Jehovha pakati pemarudzi mazhinji,

Semvura inonaya zvinhu zvinomera.

Vachaita sedova nemvura zvisingatarisiri kuunzwa nemunhu

Kana kumirira vanakomana vevanhu.

 8 Vanhu vaJakobho vanenge vasara

Vachaita seshumba iri pakati pemhuka dzesango vari pakati pemarudzi,

Iwo marudzi mazhinji,

Seshumba ine simba* pakati pemapoka emakwai,

Iyo inopfuura nepaari yoabata akavarairwa yoabvambura-bvambura

Pasina anoanunura.

 9 Muchasimudza ruoko rwenyu rwova pamusoro pemhandu dzenyu,

Uye vavengi venyu vese vachaparadzwa.”

10 “Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Ndichaparadza mabhiza ako ndoparadza ngoro dzako.

11 Ndichaparadza maguta emunyika yako

Ndoputsa nzvimbo dzako dzese dzakavakwa zvakasimba.

12 Ndichapedza uroyi hwako,

Uye hapana anoita zvemashiripiti achasara mauri.+

13 Ndichaparadza shongwe dzako nemifananidzo yako yakavezwa,

Uye ucharega kupfugamira zvinhu zvawakagadzira.+

14 Ndichadzura mapango ako anoyera,*+

Ndoparadza maguta ako.

15 Ndichatsiva marudzi asina kuteerera

Ndakatsamwa uye ndakashatirwa.”

6 Ndapota, inzwai zviri kutaurwa naJehovha.

Simukai mutaure nyaya yenyu pamberi pemakomo,

Uye zvikomo ngazvinzwe inzwi renyu.+

 2 Imi makomo inzwai nyaya ina Jehovha,

Imi nheyo dzakasimba dzenyika,+

Nekuti Jehovha ane nyaya yaari kuda kutonga vanhu vake;

Achatongesa vaIsraeri achiti:+

 3 “Imi vanhu vangu, ndakaitei kwamuri?

Ndakakunetesai sei?+

Taurai zvandakaita.

 4 Nekuti ini ndakakubudisai munyika yeIjipiti,+

Ndakakununurai muimba yeuranda;+

Ndakatuma Mozisi, naAroni, naMiriyemu kwamuri.+

 5 Ndapota, imi vanhu vangu, yeukai zvakarongwa naMambo Bharaki weMoabhi,+

Uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori,+

Zviya zvakaitika kubva paShitimu+ kusvika kuGirigari,+

Kuti muzive mabasa akarurama aJehovha.”

 6 Ndichauya pamberi paJehovha nechii?

Ndichapfugamira Mwari ari kumusoro nechii?

Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa here?

Ndichauya nemhuru dzine gore rimwe chete here?+

 7 Ko Jehovha angafadzwa nemakondohwe ane zviuru,

Nehova dzemafuta dzinosvika makumi ezviuru here?+

Ndingapa mwanakomana wangu wedangwe kuti ndivhare kupanduka kwangu here,

Iye mwana wangu wandakabereka, kuti ndivhare kukanganisa kwangu here?+

 8 Mwari akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi, iwe munhu.

Jehovha anoda kuti uitei?*

Chaanongoda ndechekuti uite zvakarurama,+ ukoshese kuvimbika,*+

Uye kuti uve nemwero+ pakufamba naMwari wako!+

 9 Inzwi raJehovha rinoshevedzera kune vari muguta;

Vaya vanoratidza kuti vane uchenjeri* vachatya zita renyu.

Inzwai kurira kweshamhu muteerere iye akaituma.+

10 Muimba yemunhu akaipa muchiine pfuma yezvakaipa here?

Muchine efa* inonyangadza yakatapudzwa here?

11 Ndingava munhu akachena* ini ndiine chikero chakaipa here

Uye ndiine homwe yematombo ekuyeresa ekubiridzira vanhu?+

12 Nekuti vapfumi varo vanongoita zvemhirizhonga,

Vagari varo vanotaura nhema;+

Uye rurimi rwavo runonyengera.+

13 “Iniwo ndichakurova ndokusiya uine ronda,+

Ndoita kuti usare usina chinhu nemhaka yezvivi zvako.

14 Uchadya asi hauzoguti;

Mudumbu mako muchange musina chinhu.+

Uchatadza kuchengetedza zvaunenge watora,

Uye ndichaita kuti zvaunenge waenda nazvo zviparadzwe nebakatwa.

15 Uchadyara mbeu, asi hauzokohwi.

Uchatsika-tsika maorivhi, asi hauzoshandisi mafuta acho;

Uchatsika-tsika mazambiringa kuti uwane waini itsva, asi hauzonwi waini yacho.+

16 Nekuti munoteerera mirau yaOmri muchitevera mabasa ese eimba yaAhabhi+

Uye munotevera mazano avo.

Ndokusaka ndichaita kuti muve chinhu chinotyisa

Uye kuti vagari vemuguta racho vave chinhu chinoridzisa muridzo;+

Muchashorwa nemarudzi.”+

7 Maiwee kani! Ndakaita semunhu uya anoti

Kana michero yemuzhizha yaunganidzwa,

Uye vanonhonga mazambiringa anenge asara pakukohwa vapedza,

Anosvika oshaya sumbu remazambiringa rekudya,

Kana onde rekutanga raanoda chaizvo.

 2 Panyika hapasisina munhu akavimbika;

Pavanhu hapana munhu akarurama.+

Vese zvavo vanohwandira vanhu kuti vadeure ropa.+

Munhu wese anovhima hama yake nemambure.

 3 Vava shasha dzekuita zvakaipa nemaoko avo;+

Muchinda ari kumanikidza vanhu kuti vamupe zvinhu,

Mutongi anokumbira kubhadharwa,+

Munhu wepamusorosoro anoita kuti vanhu vazive zvaanoda,+

Uye vanozvironga* pamwe chete.

 4 Munhu anoita zvakanaka kupfuura vese pakati pavo akaita seminzwa,

Munhu akarurama kupfuura vese pakati pavo akaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa.*

Zuva remurindi wako nerekutongwa kwako richasvika.+

Uye vachavhunduka.+

 5 Musavimba neshamwari dzenyu

Kana kuvimba neshamwari yepedyo.+

Ngwarira zvaunotaura kune uya anorara pachipfuva chako.

 6 Nekuti mwanakomana ari kuzvidza baba vake,

Mwanasikana ari kupandukira amai vake,+

Uye muroora haasi kuwirirana navamwene vake;+

Vavengi vemunhu vanhu vemumba make.+

 7 Asi ini ndicharamba ndichitarisira kuna Jehovha.+

Ndichamirira Mwari weruponeso rwangu.*+

Mwari wangu achandinzwa.+

 8 Rega kufarira dambudziko rangu iwe muvengi* wangu.

Ndakawira pasi asi ndichasimuka;

Ndiri kugara murima, asi Jehovha achava chiedza changu.

 9 Ndichatambura nehasha dzaJehovha

Nekuti ndakamutadzira,+

Ndichatambura nadzo kusvikira andirwira panyaya yangu oita kuti itongwe zvakanaka.

Achandiunza kuchiedza;

Ndichaona kururama kwake.

10 Muvengi wangu achaonawo uye achanyara,

Iye mukadzi uya wekuti kwandiri:

“Jehovha Mwari wako ari kupi?”+

Maziso angu achamutarisa.

Iye zvino achatsikwa-tsikwa semadhaka emumigwagwa.

11 Richava zuva rekuvaka masvingo ako ematombo;

Zuva iroro nyika ichawedzerwa kukura kwayo.*

12 Zuva iroro vachauya kwauri

Vachibva kuAsiriya nekumaguta eIjipiti,

Kubvira kuIjipiti kusvika kuRwizi;*

Kubva kugungwa kusvika kugungwa, uye kubva kugomo kusvika kugomo.+

13 Nyika ichava dongo nemhaka yevagari vayo,

Pamusana pezvavakaita.

14 Fudzai vanhu venyu nemudonzvo wenyu, iwo makwai enhaka yenyu,+

Aya aigara ega musango, pakati pemunda wemichero.

Ngaafure muBhashani neGiriyedhi+ sezvaaimboita kare.

15 “Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa,

Sepamazuva avakabuda munyika yeIjipiti.+

16 Marudzi achazviona onyara pasinei nesimba rese raainaro.+

Vachabata miromo yavo;

Nzeve dzavo dzichavhara.

17 Vachananzva guruva senyoka;+

Vachabuda vachidedera munhare* dzavo sezvinokambaira panyika.

Vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachidedera,

Uye vachakutyai.”+

18 Ndoupi Mwari akaita semi,

Anoregerera kukanganisa uye anoregerera kudarika+ kwevakasara pavanhu vake?*+

Haazorambi akatsamwa nekusingaperi,

Nekuti anofarira rudo rusingachinji.+

19 Achatinzwira tsitsi zvakare;+ achatsikirira kukanganisa kwedu.

Muchakanda zvivi zvavo zvese pasi pegungwa.+

20 Muchava akatendeka kuna Jakobho,

Mucharatidza rudo rusingachinji kuna Abrahamu,

Sekupika kwamakaita kumadzitateguru edu kubvira kare.+

Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Mikaeri (kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?) kana kuti Mikaya, (kureva kuti “Ndiani Akaita saJehovha?”).

Kana kuti “Uye zvese zvayaibhadharwa paupfambi hwayo.”

Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Kana kuti “muimba yeAfra.”

Kana kuti “achakutorerai zvinhu.”

ChiHeb., “Kukudzwa kweIsraeri kuchasvika.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kubva.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “pavanenge vaine zvekutsenga.”

Kana kuti “vachavhara ndebvu dzavo dzepamusoro pemuromo.”

Kana kuti “sirivha.”

Kana kuti “temberi.”

Kana kuti “yakakwirira izere nemiti.”

Kana kuti “Pakunopera kwemazuva acho.”

Kana kuti “murayiro.”

Kana kuti “Ogadzirisa.”

ChiHeb., “shongwe yezvipfuwo.”

Kana kuti “hwaimbovapo.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “pemhuri dzekwaJudha.”

Kana kuti “vatungamiriri vasere.”

Kana kuti “seshumba yava nezenze.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “umuitirewo chii?”

Kana kuti “uve nemutsa uye kuti urambe uine rudo.” ChiHeb., “ude rudo rusingachinji.”

Kana kuti “uchenjeri hunobatsira.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “asina mhosva.”

ChiHeb., “vanozviruka.”

Kana kuti “heji yeminzwa.”

Kana kuti “Ndichamirira Mwari weruponeso rwangu nemwoyo murefu.”

MuchiHebheru, shoko rakashandurwa kuti “muvengi” rinoratidza kuti muvengi wacho munhukadzi.

Dzimwe shanduro dzinoti, “murau uchava kure.”

Kureva, Yufratesi.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

ChiHeb., “panhaka yake?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe