RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Jona 1:1-4:11
  • Jona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jona
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jona

JONA

1 Shoko raJehovha rakauya kuna Jona*+ mwanakomana waAmitai, richiti: 2 “Simuka uende kuNinivhi+ guta guru, urizivise mutongo waro, nekuti ndaona zvakaipa zviri kuitwa nevanhu vacho.”

3 Asi Jona akasimuka kuti aende kuTashishi achitiza Jehovha; akaenda kuJopa akawana ngarava yaienda kuTashishi. Saka akabhadhara mari yengarava, akakwira ngarava yacho kuti aende navo kuTashishi, kure naJehovha.

4 Jehovha akabva aunza mhepo huru mugungwa, zvekuti mugungwa makava nedutu rinotyisa uye ngarava yacho yakanga yava kuda kuparara. 5 Vafambisi vengarava vakatya chaizvo zvekuti mumwe nemumwe akatanga kushevedzera kuna mwari wake kuti avabatsire. Vakatanga kukanda zvinhu zvaiva mungarava mugungwa kuti irerukirwe.+ Asi Jona ainge apinda mukatikati mengarava yacho achibva arara, ndokufa zvake nehope. 6 Mukuru wengarava akaenda paari akati kwaari: “Uri kutorara zvako! Muka ushevedzere kuna mwari wako! Zvichida Mwari wechokwadi achatinzwira tsitsi, torega kuparara.”+

7 Vakabva vatanga kutaurirana vachiti: “Uyai tikande mijenya+ tizive munhu aita kuti tiwirwe nedambudziko iri.” Saka vakakanda mijenya, uye mujenya wakabata Jona.+ 8 Vakati kwaari: “Tiudze chokwadi, ndiani aita kuti tiwirwe nedambudziko iri? Unoita basa rei, uye unobva kupi? Unobva kunyika ipi, uye uri werudzi rupi?”

9 Akabva ati: “Ndiri muHebheru, uye ndinotya* Jehovha Mwari wekudenga, uyo akasika gungwa nenyika.”

10 Varume vacho vakabva vatowedzera kutya, uye vakamubvunza kuti: “Wakaitei?” (Varume vacho vakaziva kuti akanga achitiza Jehovha, nekuti akanga avaudza.) 11 Dutu rakaramba richiwedzera mugungwa, saka vakati kwaari: “Tokuita sei kuti gungwa ridzikame?” 12 Akati kwavari: “Ndisimudzei mundikande henyu mugungwa kuti gungwa ridzikame; nekuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru iri riuye pamuri.” 13 Zvisinei, varume vacho vakakwasva nesimba kuti vadzose ngarava kumahombekombe, asi vakatadza nekuti dutu rakaramba richiwedzera mugungwa.

14 Vakabva vashevedzera kuna Jehovha vakati: “Tapota Jehovha, musaita kuti tiparare nemhaka yemurume uyu! Musatipa mhosva yekuuraya munhu asina mhaka Jehovha, nekuti maita zvamunoda.” 15 Vakabva vasimudza Jona vakamukanda mugungwa, gungwa richibva ragadzikana. 16 Varume vacho vakatya Jehovha kwazvo,+ uye vakapa chibayiro kuna Jehovha, vakaita mhiko.

17 Jehovha akabva atuma hove huru ikamedza Jona, zvekuti Jona akagara mudumbu rehove kwemazuva matatu neusiku hutatu.+

2 Jona akabva anyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove,+ 2 akati:

“Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika, uye akandipindura.+

Ndakachemera kubatsirwa ndiri muGuva* makadzika.+

Makanzwa inzwi rangu.

 3 Pamakandikanda munzvimbo dzakadzika, pakati pegungwa guru,

Mafungu akabva angondinyudza.+

Masaisai enyu ese nemafungu enyu zvaipfuura nepamusoro pangu.+

 4 Ndakati, ‘Ndadzingwa pamberi penyu!

Ndichazoonazve temberi yenyu tsvene here?’

 5 Mvura yakandinyudza zvekuti ndakapotsa ndafa;+

Mvura yakadzika yakandikomba.

Masora akamonera musoro wangu.

 6 Ndakanyura kusvika pasi pemakomo.

Mazariro* enyika akanga ava kundivharira nekusingaperi.

Asi imi Jehovha Mwari wangu makabudisa upenyu hwangu mugomba.+

 7 Simba rangu paraipera ndava kuda kufa, Jehovha ndiye wandakayeuka.+

Munyengetero wangu wakabva wasvika kwamuri, imo mutemberi yenyu tsvene.+

 8 Vaya vanozvipira kuzvidhori zvavo zvisingabatsiri vanosiya uya anovaratidza rudo rusingachinji.*

 9 Asi ini ndichakupai chibayiro ndichikutendai nemashoko angu.

Ndichaita zvandakapika.+

Ruponeso runobva kuna Jehovha.”+

10 Jehovha akazorayira hove yacho kuti irutsire Jona panyika uye yakabva yamurutsa.

3 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jona kechipiri, richiti:+ 2 “Simuka uende kuNinivhi+ guta guru, unorizivisa shoko randinokuudza.”

3 Saka Jona akasimuka akaenda kuNinivhi+ sezvaakanga audzwa naJehovha.+ Zvino Ninivhi yaiva guta rakakura chaizvo,* raitoda mazuva matatu kuti ufambe kusvika kwaraiperera. 4 Jona akabva apinda muguta racho, uye akaita rwendo rwezuva rimwe chete muguta racho achizivisa kuti: “Kwangosara mazuva 40 kuti Ninivhi iparadzwe.”

5 Vanhu vemuNinivhi vakabva vatenda muna Mwari,+ uye vakazivisa kuti vanhu vatsanye. Vakapfeka masaga, kubva kumukuru kusvika kumudiki. 6 Shoko racho parakasvika kuna mambo weNinivhi, akasimuka pachigaro chake cheumambo, akabvisa nguo yake yeumambo, akapfeka masaga, akagara mumadota. 7 Akaitawo kuti muNinivhi yese muziviswe kuti,

“Mambo nemakurukota ake varayira kuti: Hapana munhu kana chipfuwo, kana mombe kana makwai, zvinofanira kudya chinhu. Hapana munhu kana chipfuwo chinofanira kudya kana kunwa mvura. 8 Vanhu ngavapfeke masaga pamwe chete nezvipfuwo; uye ngavashevedzere nemwoyo wese kuna Mwari uye ngavasiye nzira dzavo dzakaipa nemhirizhonga yavari kuita. 9 Zvimwe Mwari wechokwadi achachinja pfungwa dzake,* kutsamwa kwake kukuru kwopera, isu torega kuparara.”

10 Mwari wechokwadi paakaona zvavakanga vaita, kuti vakanga vasiya nzira dzavo dzakaipa,+ akachinja pfungwa dzake* pamusoro pedambudziko raakanga ati achaunza, uye haana kuzoriunza.+

4 Asi izvi hazvina kana kumbofadza Jona; akatsamwa kwazvo. 2 Saka akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Jehovha, izvi handizvo here zvaindinetsa pandakanga ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakamboda hangu kutizira kuTashishi;+ nekuti ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi* nengoni, anononoka kutsamwa, azere nerudo rusingachinji,+ uye anorwadziwa nekuunza dambudziko. 3 Zvino ndapota Jehovha, chindiurayai henyu, nekuti zviri nani kuti ndife zvangu pane kuti ndirarame.”+

4 Jehovha akamubvunza kuti: “Zvakanaka here kuti utsamwe zvakadaro?”

5 Jona akabva abuda muguta racho akanogara pasi kumabvazuva kwaro. Akagadzira dumba ikoko, akagara mumumvuri wacho achida kuona kuti chii chaizoitika kuguta racho.+ 6 Jehovha Mwari akabva aita kuti pakure mupudzi* kuitira kuti Jona awane mumvuri, uye kuti shungu dzake dzidzikire. Uye Jona akafarira mupudzi wacho chaizvo.

7 Asi mangwana acho, utonga hwava kutsvuka, Mwari wechokwadi akaita kuti gonye rirume mupudzi wacho, ukabva wasvava. 8 Zuva parakabuda, Mwari akaunza mhepo inopisa yaibva kumabvazuva, uye Jona akatsva nezuva zvekuti akanga ava kupera simba. Akaramba achikumbira kuti afe,* uye akaramba achiti, “Zviri nani kuti ndife zvangu pane kuti ndirarame.”+

9 Mwari akati kuna Jona: “Zvakanaka here kuti utsamwire mupudzi zvakadaro?”+

Iye akati: “Handingambotadzi kutsamwa, ndakatotsamwa zvekuti ndiri kuda kufa.” 10 Asi Jehovha akati: “Wanzwira urombo mupudzi, wausina kushandira uye wausina kukudza. Wakura neusiku humwe chete ukaparara neusiku humwe chete. 11 Zvino ini handifaniriwo here kunzwira urombo Ninivhi guta guru,+ iro rine varume vanopfuura 120 000 vasingambozivi musiyano wezvakanaka nezvakaipa,* pamwe chete nezvipfuwo zvavo zvizhinji?”+

Kureva kuti “Njiva.”

Kana kuti “ndinonamata.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Dzimwe shanduro dzinoti, “vanosiya kuvimbika kwavo.”

ChiHeb., “guta guru kuna Mwari.”

Kana kuti “achazvidemba.”

Kana kuti “akazvidemba.”

Kana kuti “nyasha.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mufute” uyo unonziwo mupfuta.

Kana kuti “kuti mweya wake ufe.”

Kana kuti “weruoko rwavo rwerudyi nerweruboshwe.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe