RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Obhadhiya 1-21
  • Obhadhiya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Obhadhiya
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Obhadhiya

OBHADHIYA

1 Izvi ndizvo zvakaonekwa naObhadhiya:*

Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha pamusoro paEdhomu:+

“Pane shoko ratanzwa kuna Jehovha,

Pane nhume yatumwa kumarudzi kuti inoti:

‘Simukai, ngatigadzirirei kumurwisa.’”+

 2 “Inzwa! Ndaita kuti usave chinhu pakati pemarudzi;

Uri kuzvidzwa chaizvo.+

 3 Wanyengerwa nemwoyo wako unozvikudza,+

Iwe anogara mumikaha yedombo,

Iwe anogara pakakwirira, uchiti nechemumwoyo,

‘Ndiani angandiburutsa pasi?’

 4 Kunyange kana ukagara pakakwirira* segondo,

Kana kuti ukavaka dendere rako pakati penyeredzi,

Ndinongokuburutsa kubva ikoko,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

 5 “Kudai mbavha dzaizouya kwauri, iwo makororo anouya usiku,

(Waizoparadzwa wosara usisina chinhu!)*

Dzaisazongoba zvadzinoda chete here?

Kana kuti kudai waizovingwa nevanhu vanotanha mazambiringa,

Vaisazosiya mamwe kuti azonhongwa here?+

 6 Isau aongororwa kwazvo!

Pfuma yake yakavanzwa yatsvagwa yese!

 7 Vaenda newe vakakusiyira kumuganhu.

Vese vawakabatana navo* vakunyengedza.

Varume vawaiva nerugare navo vakukunda.

Vaya vaunodya navo chingwa vachakuteya nemambure,

Asi hauzozvizivi.

 8 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Handizoparadzi vakachenjera muEdhomu here+

Kana vaya vane ungwaru munyika ine makomo yaIsau?

 9 Varwi vako vane simba vachavhundutswa,+ iwe Temani,+

Nekuti munhu wese ari munyika ine makomo yaIsau achaparadzwa.+

10 Uchanyara kusvika pekupedzisira+

Nekuti wakarwisa munin’ina wako Jakobho,+

Uye uchaparadzwa.+

11 Pazuva rawakamira parutivi wakatarisa,

Pazuva rakatapwa uto rake nevatorwa,+

Vanhu vekune imwe nyika pavakapinda pagedhi rake, vachibva vakanda mijenya+ pamusoro peJerusarema,

Iwe wakatevedzerawo zvavaiita.

12 Haufaniri kufarira dambudziko remunin’ina wako,+

Haufaniri kufarira kuparara kwevanhu veJudha,+

Uye haufaniri kutaura mashoko ekuzvikudza pazuva rekutambudzika kwavo.

13 Haufaniri kupinda pagedhi revanhu vangu pazuva ravanowirwa nenjodzi,+

Haufaniri kufarira dambudziko rake,

Uye haufaniri kutora pfuma yake pazuva raanowirwa nenjodzi.+

14 Haufaniri kumira pamharadzano dzenzira kuti uuraye vanhu vake vanenge vachitiza,+

Uye pazuva redambudziko rake haufaniri kutora vanenge vapona uchivaisa mumaoko emuvengi.+

15 Nekuti zuva raJehovha rekurwisa marudzi ese rava pedyo.+

Zvawakaitira vamwe ndizvo zvauchaitirwawo.+

Mabatiro awakaita vamwe ndiwo mabatirwo auchaitwa.

16 Marudzi ese acharamba achinwa waini

Semanwiro amakaita muri mugomo rangu dzvene.+

Achainwa oipedza yese,

Uye zvichaita sekuti haana kumbobvira avapo.

17 Asi muGomo reZiyoni ndimo muchava nevachapukunyuka,+

Uye richava dzvene;+

Uye imba yaJakobho ichatora zvinhu zvayo.+

18 Imba yaJakobho ichava moto,

Imba yaJosefa ichava rimi remoto,

Uye imba yaIsau ichaita semashanga;

Vachavapisa vovaparadza,

Uye muimba yaIsau hamuzovi neanopona,+

Nekuti Jehovha pachake ataura.

19 Vachatora Negebhu nenyika ine makomo yaIsau,+

NeShefera, nenyika yevaFiristiya.+

Vachatora nyika yaEfremu nenyika yeSamariya,+

Uye Bhenjamini achatora Giriyedhi.

20 Nhapwa dzemurusvingo urwu runodzivirira,+

Ivo vaIsraeri, dzichatora nyika yese yevaKenani kusvika kuZarefati.+

Uye nhapwa dzekuJerusarema, dzaiva muSefaradhi, dzichatora maguta ekuNegebhu.+

21 Vaponesi vachakwira muGomo reZiyoni

Kuti vatonge nyika ine makomo yaIsau,+

Uye umambo huchava hwaJehovha.”+

Kureva kuti “Mushumiri waJehovha.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ukabhururuka uri mudengadenga.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Dzaizoparadza zvakawanda sei?”

Kana kuti “vawakaita sungano navo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe