AMOSI
1 Aya ndiwo mashoko aAmosi,* mumwe wevanhu vaipfuya makwai vekuTekoa,+ aakaudzwa muchiratidzo chine chekuita neIsraeri mumazuva aMambo Uziya+ weJudha nemumazuva aJerobhoamu+ mwanakomana waJoashi,+ mambo weIsraeri, makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika.+ 2 Akati:
“Jehovha achadzvova muZiyoni,
Uye achakwidza inzwi rake muJerusarema.
Mafuro evafudzi achachema,
Uye pamusoro peKameri pachaoma.”+
3 “Zvanzi naJehovha,
‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veDhamasiko nekuti vakapanduka katatu uye kana,*
Nekuti vakapura Giriyedhi nezvirei zvesimbi.+
4 Saka ndichatumira moto paimba yaHazaeri,+
Uyo uchaparadza shongwe dzaBheni-hadhadhi dzakavakwa zvakasimba.+
5 Ndichatyora mazariro* eDhamasiko;+
Ndichaparadza vanhu vekuBhikati-avheni
Nemutongi weBheti-edheni;
Uye vanhu vekuSiriya vachatapwa voendeswa kuKiri,”+ anodaro Jehovha.’
6 Zvanzi naJehovha,
‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veGaza,+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,
Nekuti vakatapa vanhu vese+ kuti vavaise mumaoko eEdhomu.
8 Ndichaparadza vanhu vekuAshdhodhi,+
Neuya ari kutonga ari muAshkeroni;+
Uye ndicharwisa Ekroni,+
Uye vaFiristiya vanosara vachaparara,”+ anodaro Changamire Ishe Jehovha.’
9 Zvanzi naJehovha,
‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu vekuTire+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,
Nekuti vakatapa vanhu vese vakavaisa mumaoko eEdhomu,
Uye nekuti havana kuyeuka sungano yehama.+
11 Zvanzi naJehovha,
‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro paEdhomu+ nekuti akapanduka katatu uye kana,
Nekuti akatevera munin’ina wake nebakatwa,+
Uye nekuti akaramba kuva netsitsi;
Anongoramba achivabvambura-bvambura akatsamwa,
Uye anoramba akavatsamwira.+
13 Zvanzi naJehovha,
‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevaAmoni+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,
Nekuti vakatumbura vakadzi vaiva nepamuviri vekuGiriyedhi kuti vawedzere nharaunda yavo.+
14 Saka ndichabatidza moto parusvingo rweRabha,+
Uyo uchaparadza shongwe dzayo dzakavakwa zvakasimba,
Paine mheremhere yehondo pazuva rekurwa,
Nemvura ine simba pazuva redutu.
15 Mambo wavo achatapwa pamwe chete nemachinda ake,”+ anodaro Jehovha.’
2 “Zvanzi naJehovha,
‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro paMoabhi+ nekuti akapanduka katatu uye kana,
Nekuti akapisa mapfupa amambo weEdhomu akaita madota.
2 Saka ndichatumira moto muMoabhi,
Uye uchaparadza shongwe dzakavakwa zvakasimba dzekuKeriyoti;+
Pachafa Moabhi pachange paine ruzha rukuru,
Nemheremhere yehondo, uye pachange pachiridzwa hwamanda.+
3 Ndichabvisa mutungamiriri* ari maari
Ndomuuraya pamwe chete nemachinda ake ese,”+ anodaro Jehovha.’
4 Zvanzi naJehovha,
‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veJudha+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,
Nekuti vakaramba mutemo waJehovha,
Uye havana kuchengeta mirau yake;+
Asi nhema dzakateverwa nemadzitateguru avo ndidzo dzavatsausa.+
6 Zvanzi naJehovha,
‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevaIsraeri+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,
Nekuti vari kutengesa vanhu vakarurama vachipiwa sirivha,
Uye vari kuchinjanisa varombo neshangu mbiri.+
Baba nemwanakomana wavo vanorara nemusikana mumwe chete,
Vachisvibisa zita rangu dzvene.
8 Vanozvambarara pedyo neatari dzese+ vari panguo dzavakatora sechibatiso kune vaya vavakakweretesa;+
Uye waini yavanonwa muimba* yavanamwari vavo vakaiwana kuvanhu vavakaripisa.’
9 ‘Asi ndini ndakaparadza muAmori pamberi pavo,+
Uyo akanga akareba semisidhari, uye akanga akasimba semiti yemioku;
Ndakaparadza michero yake nemidzi yake.+
10 Ndakakubudisai munyika yeIjipiti,+
Uye ndakakufambisai murenje kwemakore 40,+
Kuti mutore nyika yemuAmori.
Ndiri kunyepa here nhai vaIsraeri?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
13 Saka ndichakupwanyai muri pamuri ipapo,
Sekupwanywa kunoitwa zvinhu zvinotsikwa nengoro izere nezvirimwa zvachekwa.
14 Uya anomhanya kwazvo achashaya kwekutizira,+
Uya ane simba achapera simba;
Kunyange murwi ane simba haazoponi.
15 Uya anopfura neuta haazokwanisi kuzvirwira,
Uya anomhanya kwazvo haazokwanisi kutiza,
Uye hapana mutasvi webhiza achapukunyuka.
16 Kunyange murwi akashinga kupfuura vamwe vese
Achatiza asina kupfeka pazuva iroro,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
3 “Inzwai shoko iri rataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, imi mhuri yese yandakabudisa munyika yeIjipiti:
2 ‘Ndimi chete vandakaziva pamhuri dzese dzepanyika.+
Ndokusaka ndichakutongerai kukanganisa kwenyu kwese.+
3 Vanhu vaviri vangafamba vese vasina kumborangana here?
4 Shumba ingadzvova musango isina chayabata here?
Shumba yava nezenze* ingahon’a munzvimbo yainogara, iyo isina chayabata here?
5 Shiri ingabatwa nechiteyeso pasina aiteya here?*
Chiteyeso chingaurukira mudenga ipo pasina chachabata here?
6 Kana hwamanda ikaridzwa muguta, vanhu havadederi here?
Kana muguta mukava nedambudziko, Jehovha haasi iye anenge ariunza here?
7 Nekuti Changamire Ishe Jehovha haaiti chinhu
Asina kuzivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.+
8 Shumba yadzvova!+ Ndiani asingazotyi?
Changamire Ishe Jehovha ataura! Ndiani asingazoprofiti?’+
9 ‘Zvizivisei muri pashongwe dzakavakwa zvakasimba dzekuAshdhodhi
Uye pashongwe dzakavakwa zvakasimba dziri munyika yeIjipiti.
Taurai kuti: “Unganai mumakomo eSamariya;+
Onai zhowezhowe riri kuitwa mairi
Nekubiridzira kuri kuitwa mairi.+
10 Nekuti havazivi kuti kuita zvakarurama kuita sei,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Ivo vaya vari kuita kuti mhirizhonga nekuparadza zvitutirane mushongwe dzavo dzakavakwa zvakasimba.”’
11 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha,
‘Nyika ichakombwa nemuvengi;+
Achakusiya usisina kana simba,
Uye zvinhu zviri mushongwe dzako dzakavakwa zvakasimba zvichapambwa.’+
12 Zvanzi naJehovha,
‘Sezvinoita mufudzi anongokwanisa kubvuta makumbo maviri chete kana chidimbu chenzeve mukanwa meshumba,
Saizvozvowo pavaIsraeri vagere muSamariya pamibhedha yakanaka nepazvigaro zvakanaka,*
Pachangopona vashoma.’+
13 ‘Inzwai, muyambire imba yaJakobho,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, Mwari wemauto.
14 ‘Nekuti pazuva randicharanga Israeri nemhaka yekupanduka kwese kwaakaita,+
Ndichaparadzawo atari dzekuBheteri;+
Nyanga dzeatari dzichadimburwa dzowira pasi.+
15 Ndichaputsa imba yemunguva yechando pamwe chete neimba yemunguva yezhizha.’
‘Dzimba dzakagadzirwa nenyanga dzenzou dzichaparara+
Uye dzimba dzemaoresa* dzichaparara,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
4 “Inzwai shoko iri imi mhou dzekuBhashani
Dziri mugomo reSamariya,+
Imi vakadzi vari kubiridzira vanhu vakaderera,+ muchidzvinyirira varombo,
Imi muri kuti kuvarume* venyu, ‘Tiunzirei zvekunwa!’
2 Changamire Ishe Jehovha apika neutsvene hwake achiti,
‘“Inzwai! Mazuva achasvika aachakusimudzai nezvinoshandiswa kukochekera nyama nemunhu anouraya mhuka
Uye vanenge vasara pakati penyu achavasimudza nezvirauro.
3 Muchabuda nemunzvimbo dzakaputsika rusvingo, mumwe nemumwe nepaanenge akatarisana napo;
Uye muchakandwa kuHamoni,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’
5 Pisai chibayiro chekuonga chezvingwa zvine mbiriso;+
Shevedzerai muchizivisa nezvemipiro yenyu yekungopawo muchizvidira!
Nekuti ndizvo zvamunofarira, imi vanhu veIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.
6 ‘Ndakaita kuti mazino enyu achene nekushaya zvekudya mumaguta enyu ese,
Uye ndakaita kuti mushayiwe zvekudya mudzimba dzenyu dzese;+
Asi hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
7 ‘Ndakaregawo kukunayisirai mvura kwemwedzi mitatu kukohwa kusati kwasvika;+
Ndakaita kuti mvura inaye mune rimwe guta asi mune rimwe musina.
Mvura yainaya mune mumwe munda,
Asi mumwe waishaya mvura, wobva waoma.
8 Vanhu vemumaguta maviri kana matatu vaidzedzereka vachienda kuguta rimwe chete kuti vanonwa mvura,+
Asi vaisawana mvura inovakwanira;
Kunyange zvakadaro, hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
9 ‘Ndakaita kuti zvirimwa zvenyu zvitsve uye zviore.+
Makava nemapindu akawanda neminda yemizambiringa yakawanda,
Asi mhashu dzaiparadza mionde yenyu nemiorivhi yenyu;+
Kunyange zvakadaro, hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
10 ‘Ndakakutumirai denda rakafanana neriya rekuIjipiti.+
Ndakauraya majaya enyu nebakatwa,+ ndikatora mabhiza enyu.+
Ndakaita kuti kunhuhwa kwemisasa yenyu kusvike mumhino dzenyu;+
Asi hamuna kudzoka kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
Uye makaita sedanda ravhomorwa mumoto;
Asi hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
12 Saka ndichakuitira zvakafanana naizvozvo, iwe Israeri.
Gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri,
Nemhaka yekuti ndichakuitira izvozvo.
13 Nekuti ndiye akaumba makomo+ uye akasika mhepo;+
Anoudza munhu pfungwa dzake,
Anochinja mambakwedza kuti ave rima,+
Uye anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika;+
Iye anonzi Jehovha Mwari wemauto.”
5 “Inzwai rwiyo urwu rwekuchema,* iro shoko randiri kuzivisa pamusoro penyu, imi imba yaIsraeri:
2 ‘Israeri, mhandara iya, yadonha;
Haichagoni kusimuka.
Yasiyiwa yega munyika yayo;
Haina munhu anoimutsa.’
3 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
‘Guta rinoenda kunorwa riine vanhu 1 000 richasara ne100;
Uye riya rinoenda kunorwa riine vanhu 100 richasara ne10. Izvi ndizvo zvichaitika kuimba yaIsraeri.’+
4 “Nekuti zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri:
‘Nditsvagei murambe muchirarama.+
Musaenda kuGirigari,+ uye musapfuurira muchienda kuBheeri-shebha,+
Nekuti Girigari ichatotapwa,+
Uye Bheteri ichasara isisiri chinhu.*
6 Tsvagai Jehovha, murambe muchirarama,+
Kuti arege kungandumira imba yaJosefa semoto,
Opisa Bheteri, pasina anoidzima.
8 Iye akasika nyeredzi dzeKima nenyeredzi dzeKesiri,*+
Iye anochinja rima gobvu kuti rive mangwanani,
Iye anoita kuti masikati asvibe seusiku,+
Iye anoshevedza mvura yegungwa
Kuti aidururire panyika,+
Jehovha ndiro zita rake.
9 Achaita kuti vane simba vangoerekana vaparadzwa,
Oita kuti nzvimbo dzakavakwa zvakasimba dziparare.
10 Vanhu vacho vanovenga vatongi vanoruramisa vanhu pagedhi reguta,
Uye vanovenga vaya vanotaura chokwadi.+
11 Nemhaka yekuti munomanikidza murombo kuti abhadhare mutero wemunda
Uye munomutorera zvirimwa zvake kuti zvive mutero,+
Hamuzorambi muchigara mudzimba dzenyu dzematombo akavezwa dzamakavaka+
Uye hamuzonwi waini inobva muminda yemizambiringa yakanaka yamakadyara.+
12 Nekuti ndinoziva kuti makapanduka kangani
Uye kuti zvivi zvenyu zvakakura sei.
Munoshungurudza munhu akarurama,
Munotora chiokomuhomwe,*
Uye hamuremekedzi kodzero dzemurombo pagedhi reguta.+
Uye Jehovha Mwari wemauto achava nemi,
Sekutaura kwamuri kuita kuti anemi.+
Zvimwe Jehovha Mwari wemauto
Achanzwira nyasha vanhu vekwaJosefa vasara.’+
16 “Saka zvanzi naJehovha, iye Jehovha Mwari wemauto:
‘Mumisika yese mucharidzwa mhere,
Uye mumigwagwa yese, vachati, “Maiwee, maiwee kani!”
Vachashevedza varimi kuti vacheme
Uye vaya vanobhadharwa kuchema pamariro kuti vauye kuzoridza mhere.’
17 ‘Muminda yese yemizambiringa, muchava nemhere;+
Nekuti ndichapfuura nepakati penyu,’ anodaro Jehovha.
18 ‘Vane nhamo vaya vanoti dai zuva raJehovha rasvika!+
Munoziva here kuti chii chichaitika kwamuri pachauya zuva raJehovha?+
Pachava nerima, kwete chiedza.+
19 Zvichaitika zuva racho zvichafanana nemurume anotiza shumba osangana nemhuka inonzi bheya,
Uye paanopinda mumba obatirira kumadziro, anobva arumwa nenyoka.
20 Zuva raJehovha richava nerima, kwete chiedza;
Kuchange kwakasviba, kusina chiedza.
21 Ndinovenga mitambo yenyu, handitomboifariri,+
Uye handifariri kunhuhwirira kwezvibayiro zvamunopa pamagungano enyu matsvene.
22 Kunyange mukandipa zvibayiro zvinopiswa uye mupiro,
Handifadzwi nazvo;+
Uye handizofariri zvipfuwo zvenyu zvakakodzwa zvamunopa sezvibayiro zverugare.+
26 Iye zvino mava kuzofanira kutakura mambo wenyu Sakuti uye Kaiwani,*
Iyo mifananidzo yenyu, nyeredzi yamwari wenyu wamakagadzira,
27 Ndichaita kuti mutapwe, moendeswa kunzvimbo iri kumberi kweDhamasiko,’+ anodaro iye ane zita rekuti Jehovha Mwari wemauto.”+
6 “Vane nhamo vaya vanovimba nepfungwa dzavo* muZiyoni,
Vaya vanofunga kuti hapana chinovawana mugomo reSamariya,+
Ivo varume vane mukurumbira verudzi runopfuura mamwe marudzi ese,
Vaya vanovimbwa navo neimba yaIsraeri!
2 Endai kuKarine muone.
Pamunobva ikoko, endai kuHamati, guta guru,+
Modzika kuGati, guta revaFiristiya.
Maguta aya ari nani pane umambo uhwu* here,
Kana kuti nharaunda yawo yakakura kupfuura nharaunda yenyu here?
3 Muri kuita kuti pfungwa dzenyu dzisafunga nezvezuva rekutambudzika here?+
Uye muri kurega utongi hunotsigira mhirizhonga huchiva pakati penyu here?+
4 Vanorara pamibhedha yakagadzirwa nenyanga dzenzou+ uye vanogara pazvigaro zvavo vakazorora zvavo,+
Vachidya makondohwe nemhuru dzakakodzwa;*+
5 Pavanonzwa kurira kwerudimbwa* vanobva vatomutsa karwiyo,+
Uye vanogadzira zviridzwa saDhavhidhi;+
6 Vanonwira waini mumidziyo mihombe+
Uye vanozora mafuta akanaka kwazvo.
Asi havana basa nedambudziko raJosefa.+
7 Saka ndivo vachatanga kutapwa,+
Uye mafaro akanyanya ari kuitwa nevaya vagere pazvigaro zvavo vakatambarara achaguma.
8 ‘Changamire Ishe Jehovha apika naiye pachake,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha Mwari wemauto,
‘“Ndinosema kudada kwaJakobho,+
Uye ndinosemburwa neshongwe dzake dzakavakwa zvakasimba,+
Uye ndichaisa guta racho nezvinhu zvizere mariri mumaoko emuvengi.+
9 “‘“Kana pakava nevarume gumi vanosara muimba imwe chete, naivowo vachafa. 10 Hama yavo ichauya kuzovatakura ichivabudisa kunze kuti ipise mumwe nemumwe wavo. Achabudisa mapfupa avo mumba macho; achabva ati kune chero munhu anenge ari muimba yemukati, ‘Uchiri nevamwe vaunavo here?’ Iye achati, ‘Hamusisina!’ Iye oti, ‘Urambe wakanyarara! Nekuti ino haisi nguva yekutaura zita raJehovha.’”
11 Nekuti Jehovha ndiye ari kurayira,+
Uye achaputsa imba huru yosara yangova murwi,
Uye imba diki yosara yati mwarara.+
12 Mabhiza anomhanya paruware here,
Kana kuti munhu angaparima nemombe here?
Nekuti makachinja kutonga kwakarurama mukaita kuti kuve muti une muchetura,
Uye muchero wekururama kuti uve kamuti kanovava.+
14 Saka imi imba yaIsraeri, ndichakuunzirai rudzi ruchakurwisai,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha Mwari wemauto,
‘Uye ruchakudzvinyirirai kubva kuRebhohamati*+ kusvika kuRwizi* rweArabha.’”
7 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naChangamire Ishe Jehovha: Panguva yakanga yava kumera mbeu dzakapedzisira kudyarwa,* iye akaita kuti pave nemhashu dzakawanda. Idzi imbeu dzakazodyarwa uswa hwamambo hwekupa zvipfuwo hwachekwa. 2 Mhashu dzacho padzakapedza kudya zvakamera munyika, ndakati: “Changamire Ishe Jehovha, varegerereiwo!+ Jakobho angapona* here? Haana simba!”+
3 Saka Jehovha akabva achinja pfungwa dzake.*+ “Hazvichaitiki,” akadaro Jehovha.
4 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naChangamire Ishe Jehovha: Changamire Ishe Jehovha akataura kuti pave nechirango chemoto. Wakaomesa mvura yakadzika, ukaparadza chikamu chenyika yacho. 5 Ndakabva ndati: “Ndapota, Changamire Ishe Jehovha, regai kudaro.+ Jakobho angapona* here? Haana simba!”+
6 Saka Jehovha akabva achinja pfungwa dzake.*+ “Izvozvowo hazvichaitiki,” akadaro Jehovha.
7 Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira parusvingo rwakavakwa pachishandiswa tambo yekururamisa mudhuri, uye ainge akabata tambo yekururamisa mudhuri. 8 Jehovha akabva ati kwandiri: “Amosi, uri kuonei?” Ini ndikati: “Tambo yekururamisa mudhuri.” Jehovha achibva ati: “Ndiri kuisa tambo yekururamisa pavanhu vangu vaIsraeri. Handichavaregereri.+ 9 Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka+ dzichava matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaparadzwa;+ uye ndichauya kuzorwisa imba yaJerobhoamu nebakatwa.”+
10 Amaziya mupristi wekuBheteri+ akatumira shoko kuna Mambo Jerobhoamu+ weIsraeri achiti: “Amosi akupandukirai pakati pevanhu veimba yaIsraeri.+ Nyika yaneta nemashoko ake ese.+ 11 Nekuti Amosi ari kuti, ‘Jerobhoamu achaurayiwa nebakatwa, uye Israeri achatotapwa obviswa munyika yake.’”+
12 Amaziya akabva ati kuna Amosi: “Iwe muoni, enda, tizira kunyika yeJudha utsvage zvekudya zvako* ikoko, woprofitira ikoko.+ 13 Hauchafaniri kuprofita muBheteri,+ nekuti inzvimbo tsvene yamambo+ uye iimba yeumambo.”
14 Amosi akabva apindura Amaziya achiti: “Ndakanga ndisiri muprofita, uye ndakanga ndisiri mwanakomana wemuprofita; asi ndaiva mufudzi,+ uye ndaishanda muminda yemionde.* 15 Asi Jehovha akandibvisa pabasa rekufudza makwai, uye Jehovha akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu vaIsraeri.’+ 16 Zvino chinzwa shoko raJehovha: ‘Uri kuti, “Usaprofita zvakaipa nezvaIsraeri,+ uye usazivisa mashoko asina kunaka+ pamusoro peimba yaIsaka.” 17 Saka zvanzi naJehovha: “Mudzimai wako achava pfambi muguta. Vanakomana vako nevanasikana vako vachaurayiwa nebakatwa. Nyika yako ichagovewa ichiita zvekuyerwa netambo, uye iwe uchafira munyika isina kuchena; uye Israeri achatotapwa obviswa munyika yake.”’”+
8 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naChangamire Ishe Jehovha: Paiva netswanda ine michero yemuzhizha. 2 Akabva ati kwandiri: “Amosi, uri kuonei?” Ini ndikati, “Tswanda ine michero yemuzhizha.” Jehovha akati kwandiri: “Kuguma kwasvika pavanhu vangu vaIsraeri. Handichavaregererizve.+ 3 ‘Zuva iroro, nziyo dzepatemberi dzichachinja dzova kuchema,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Zvitunha zvizhinji zvicharasirwa pese pese,+ zvekuti kuchasara kwangoti zii!’
4 Inzwai izvi, imi munotsikirira varombo
Muchiparadza vanyoro vepanyika,+
5 Imi vari kuti, ‘Mutambo wekugara kwemwedzi uchapera riini+ kuti titengese zvirimwa zvedu,
NeSabata+ kuti titengese zvirimwa?
Kuti tiite kuti efa* ive diki,
Uye tikudze shekeri,*
Kuti tibire vanhu nezvikero zvedu zvisina kururama;+
6 Kuti titenge vanhu vanotambura tichishandisa sirivha
Uye varombo neshangu mbiri,+
Uye kuti titengese marara ezvirimwa.’
Nyika yacho yese haizoiti seRwizi rwaNire ruri kuzara here,
Yofashamira uye yoserera saNire weIjipiti?’+
9 ‘Zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha,
‘Ndichaita kuti zuva rinyure achiri masikati,
Uye kuti nyika ive nerima masikati machena.+
10 Ndichachinja mitambo yenyu kuti ive kuchema+
Nenziyo dzenyu dzese kuti dzive nziyo dzekushungurudzika.*
Ndichaita kuti hudyu dzese dzipfeke masaga uye kuti misoro yese ive nemiparavara;
Ndichaita kuti zvifanane nemunhu ari kuchema mwanakomana wake mumwe chete,
Uye kuti magumo acho aite sezuva rekushungurudzika.’
11 ‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha,
‘Andichaunza nzara panyika,
Kwete nzara yezvekudya kana nyota yekushaya mvura,
Asi yekunzwa mashoko aJehovha.+
12 Vachadzedzereka vachibva kugungwa vachienda kune rimwe gungwa,
Uye vachibva kuchamhembe vachienda kumabvazuva.
Vachaenda kwese kwese vachitsvaga shoko raJehovha, asi havazoriwani.
13 Zuva iroro mhandara dzakanaka dzichati rabada nenyota,
Zvese nemajaya acho;
14 Vaya vanopika nemhosva yeSamariya+ uye vanoti,
“Namwari wako mupenyu, iwe Dhani!”+
Vachitiwo, “Tinopika nenzira yekuBheeri-shebha!”+
Vachadonha, uye havazomukizve.’”+
9 Ndakaona Jehovha+ akamira pamusoro peatari uye akati: “Rova musoro wembiru, uye zvidimbati* zvichazununguka. Dimbura misoro yadzo, uye vese vanenge vasara ndichavauraya nebakatwa. Hapana achakwanisa kutiza, uye hapana anoedza kupukunyuka achabudirira.+
2 Kana vakachera pasi vakapinda muGuva,*
Ruoko rwangu ruchavatora imomo;
Uye kana vakakwira kudenga,
Ndichavaburutsa ikoko.
Kana vakandihwanda pasi pegungwa,
Ndichaudza nyoka kuti dzivarume imomo.
4 Kana vakatapwa nevavengi vavo,
Ndichatuma bakatwa uye richavauraya ikoko;+
Ndichaisa maziso angu pavari kuti ndivaitire zvakaipa kwete zvakanaka.+
5 Nekuti Changamire Ishe, Jehovha wemauto, ndiye anobata nyika,
Zvekuti inobva yanyunguduka,+ vanhu vese vanogara mairi vochema;+
Uye nyika yacho yese ichaita seRwizi rwaNire ruri kuzara,
Yobva yaserera saNire weIjipiti.+
6 ‘Uya anovaka matanho ake kudenga,
Uye anovaka chivakwa chake mudenga;
Achishevedza mvura yegungwa,
Kuti aidururire panyika,+
Jehovha ndiro zita rake.’+
7 ‘Imi vaIsraeri, handikuonei sevanakomana vevaKushi here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
Asi handizoparadzi imba yese yaJakobho,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
9 ‘Nekuti ndichapa murayiro,
Uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pemarudzi ese,+
Sezvinoita munhu anozunguza sefa,
Pasina kana katombo kanowira pasi.
10 Vatadzi vese vari pavanhu vangu vachaurayiwa nebakatwa,
Ivo vaya vari kuti, “Dambudziko harizouyi pedyo nesu kana kusvika kwatiri.”’
11 ‘Zuva iroro ndichamutsa dumba* raDhavhidhi+ rakawa.
Ndichagadzira makaputswa,
Uye ndichavaka pamatongo aro;
Ndicharivaka rodzokera pane zvarakanga rakaita kare,+
12 Kuti vatore zvakasara zveEdhomu,+
Nemarudzi ese anodanwa nezita rangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, iye ari kuita izvi.
13 ‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Murimi paachatanga kurima mukohwi asati apedza kukohwa,
Uye nguva yekudyara paichasvika mazambiringa asati apera kutsikwa-tsikwa;+
Makomo paachadonha waini inotapira,+
14 Ndichadzosa vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri,+
Uye vachavakazve maguta akaitwa matongo vogara maari;+
Vachadyara minda yemizambiringa vonwa waini yacho,+
Uye vacharima minda vodya michero yayo.’+
15 ‘Ndichavadyara munyika yavo,
Uye havazombodzurwizve
Vachibviswa munyika yavo yandakavapa,’+ anodaro Jehovha Mwari wako.”
Kureva kuti “Kuva Mutoro” kana kuti “Kutakura Mutoro.”
Mashoko aya anoratidza kuti vakapanduka kakawanda.
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
ChiHeb., “mutongi.”
Kana kuti “mutemberi.”
Kana kuti “Shumba ine simba.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “icho chisina zvinoikwezva here?”
Kana kuti “nepazvigaro zvekuDhamasiko.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Uye dzimba zhinji.”
Kana kuti “kuna vanatenzi.”
Kana kuti “mupanduke.”
Kana kuti “rwekushungurudzika.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “iri nzvimbo yemashiripiti.”
Aya mazita enyeredzi dzinooneka dzakaungana panzvimbo imwe chete, dzichibudisa chimiro chezvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai semhuka.
Kana kuti “mari yepfumbamuromo.”
Vanamwari ava vaviri vanogona kunge vachireva nyeredzi yainamatwa samwari.
Kana kuti “vasingatirimuki.”
Zvinoratidza sekuti pari kureva umambo hweJudha nehweIsraeri.
Kana kuti “nemikono midiki yemombe.”
Kana kuti “kwechiridzwa chine tambo.”
Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”
Kureva, mbeu dzemuna January naFebruary.
ChiHeb., “angasimuka.”
Kana kuti “azvidemba.”
ChiHeb., “angasimuka.”
Kana kuti “azvidemba.”
ChiHeb., “udye chingwa.”
Kana kuti “ndaibaya maonde.” Muonde uri kutaurwa pano unonzi musycamore uye unowanika kuIsrael.
Kana kuti “dzemariro.”
Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “tende.”
ChiHeb., “pazvichanyunguduka.”