JOERI
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Joeri* mwanakomana waPetueri:
Zvinhu zvakadai zvakamboitika here mumazuva enyu
Kana mumazuva emadzitateguru enyu?+
3 Zviudzei vanakomana venyu,
Uye vanakomana venyu ngavazviudze vanakomana vavo,
Uye vanakomana vavo vozviudza chizvarwa chinotevera.
4 Zvakasiyiwa nemhashu dzinoparadza, zvakadyiwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda;+
Uye zvakasiyiwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda, zvakadyiwa nemhashu dzisina mapapiro;
Uye zvakasiyiwa nemhashu dzisina mapapiro, zvakadyiwa nemhashu dzinodya dzisingasiyi chinhu.*+
5 Mukai, imi zvidhakwa,+ mucheme misodzi!
Ridzai mhere imi mese munonwa waini,
Nekuti hamusisina waini inotapira.+
6 Nekuti pane rudzi rwauya munyika yangu, rune simba uye rusingaverengeki.+
Mazino arwo akaita semazino eshumba,+ uye shaya dzarwo dzakaita sedzeshumba.
7 Rwaparadza muzambiringa wangu uye rwaita kuti muonde wangu uve chigutsa,
Rwachenesa miti yacho zvachose rukaikandira kwakadaro uko,
Rukasiya tumapazi twayo twava tuchena.
9 Muimba yaJehovha hamusisina mupiro wezviyo*+ nemupiro wezvinwiwa;+
Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, vari kuchema.
11 Varimi vari kunetseka, vashandi vemuminda yemizambiringa vari kuridza mhere,
Pamusana pegorosi uye pebhari;
Nekuti mbeu dzemuminda dzaparara.
12 Muzambiringa waoma,
Muonde waoma.
Mupomegraneti,* muchindwe, nemuapuro,
Miti yese yemumunda yaoma;+
Nekuti mufaro wevanhu wachinja kuva nyadzi.
Pindai mukati, murare makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu;
Nekuti mupiro wezviyo+ nemupiro wezvinwiwa+ hazvichaunzwi muimba yaMwari wenyu.
14 Zivisai vanhu kuti vatsanye;* shevedzai vanhu kuti vauye kugungano dzvene.+
Unganidzai vakuru, nevagari vese vemunyika,
Kuimba yaJehovha Mwari wenyu,+ muchemere kubatsirwa naJehovha.
15 Maiwee zuva riya kani!
Nekuti zuva raJehovha rava pedyo,+
Uye richauya nekuparadza kunobva kune Wemasimbaose!
16 Zvekudya hazvina kubviswa pamberi pedu chaipo here,
Uye kupembera nemufaro hazvina kubviswa muimba yaMwari wedu here?
17 Mbeu dzavari kushanda padziri nefoshoro dzavo, dzaputana.*
Matura haasisina chinhu.
Tsapi* dzaputswa, nekuti zviyo zvaoma.
18 Kunyange zvipfuwo zviri kugomera!
Mombe dziri kumberereka, nekuti hadzina mafuro!
Uye makwai ari kurwadziwa.
19 Ndichachema kwamuri haiwa Jehovha;+
Nekuti moto waparadza mafuro musango,
Uye rimi remoto rapisa miti yese yesango.
20 Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri,
Nekuti hova dzemvura dzaoma
Uye moto waparadza mafuro musango.”
Shevedzerai nezvehondo muri mugomo rangu dzvene.
Zuva remakore nerima gobvu,+
Sezvinoitika kana chiedza chemambakwedza chakavharirwa nemakomo.
Kune rudzi rune vanhu vazhinji uye rune simba;+
Hakuna kumbova nerudzi rwakadaro,
Uye hakuzovi nerumwe rwakadaro
Mumakore ezvizvarwa zvese zvichatevera.
Nyika iri mberi kwavo yakaita semunda weEdheni,+
Asi pavapfuura yaita segwenga risingagari chinhu,
Uye hapana chinopukunyuka.
5 Pavanosvetuka pamusoro pemakomo vanonzwika sengoro dziri kutinhira,+
Sekuputika-putika kunoita marimi emoto panotsva mashanga.
Vakaita serudzi rune simba rwakarongwa semauto.+
6 Marudzi acharwadziwa kwazvo nekuda kwavo.
Zviso zvese zvichanetseka.
7 Vanomhanya sevarwi vava kutanga kurwisa,
Vanokwira madziro semauto,
Mumwe nemumwe anoramba akananga mberi,
Uye havatsauki panzira dzavo.
8 Havasundidzirani;
Mumwe nemumwe anoramba achienda ari munzira yake.
Kana vamwe vakaurayiwa nezvombo,*
Vamwe vacho havadzokeri shure.
9 Vanomhanyira muguta, vanomhanya pamadziro.
Vanokwira padzimba, vanopinda nepamahwindo sezvinoita mbavha.
10 Nyika inodedera pamberi pavo uye denga rinozununguka.
Zuva nemwedzi zvasviba,+
Uye nyeredzi hadzichapenyi.
11 Jehovha achashevedzera ari pamberi peuto rake,+ nekuti uto rake rakakura chaizvo.+
Nekuti wacho ari kuita zvaakataura ane simba;
Nekuti zuva raJehovha iguru uye rinotyisa kwazvo.+
Ndiani angaritsungirira?”+
12 “Asi kunyange iye zvino,” anodaro Jehovha, “dzokai kwandiri nemwoyo yenyu yese,+
Muchitsanya,+ muchichema, uye muchiridza mhere.
13 Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu,+
Modzoka kuna Jehovha Mwari wenyu,
Nekuti iye ane tsitsi nengoni, anononoka kutsamwa,+ uye azere nerudo rusingachinji,+
Uye achafunga kusaunza dambudziko racho.*
14 Ndiani anoziva kana achizochinja, orega kuita zvaanga achifunga*+
Okusiyirai chikomborero,
Mupiro wezviyo nemupiro wezvinwiwa wekupa Jehovha Mwari wenyu?
15 Ridzai hwamanda muZiyoni!
Zivisai vanhu kuti vatsanye;* shevedzai vanhu kuti vauye kugungano dzvene.+
16 Unganidzai vanhu; tsvenesai ungano.+
Unganidzai vakwegura;* unganidzai vana nevacheche vanoyamwa.+
Murume ari kuroora ngaabude muimba yake yemukati, uye mwenga ngaabude muimba yake yemuchato.
‘Nzwirai vanhu venyu urombo, haiwa Jehovha;
Musaita kuti nhaka yenyu ishorwe,
Muchisiya mamwe marudzi achivatonga.
Mamwe marudzi angasvikirei pakuti, “Mwari wavo ari kupi?”’+
19 Jehovha achapindura vanhu vake achiti:
‘Ndiri kukutumirai zviyo newaini itsva nemafuta,
Uye muchanyatsoguta;+
Handichazoiti kuti mushorwe zvakare pakati pemamwe marudzi.+
20 Ndichadzingira vekuchamhembe kure nemi;
Ndichaita kuti vapararire kunyika yakaoma uye isingagarike nevanhu,
Vanga vachirwa vari pamberi vachananga kugungwa rekumabvazuva*
Uye vanga vari nechekumashure vachananga kugungwa rekumavirira.*
Zimweya rekunhuhwa kwavo richakwira,+
Hwema hwavo hwakaipa hucharamba huchikwira;
Nekuti iye achaita zvinhu zvikuru.’
21 Usatya, haiwa iwe nyika.
Fara, ufarisise, nekuti Jehovha achaita zvinhu zvikuru.
22 Musatya, imi mhuka dzesango,
Nekuti mafuro achasvibirira musango,+
Uye miti ichabereka michero;+
Muonde nemuzambiringa zvichanyatsobereka.+
23 Imi vanakomana veZiyoni, pemberai, mufare kwazvo muna Jehovha Mwari wenyu;+
Nekuti achakupai mvura yekutanga yakaringana,
Uye achakunayisirai mvura zhinji,
Mvura yekutanga nemvura yekupedzisira, sezvaaiita pakutanga.+
24 Nzvimbo dzekupurira dzichazara zviyo zvakaurutswa,
Uye zvisviniro zvichafashukira newaini itsva nemafuta.+
25 Ndichakupai zvinotsiva zvamakarasikirwa nazvo
Mumakore akadyiwa zvinhu nemhashu dzinobhururuka dzakawanda, nemhashu dzisina mapapiro, nemhashu dzinodya dzisingasiyi chinhu, uye nemhashu dzinoparadza,
Iro uto rangu guru randakatuma pakati penyu.+
26 Chokwadi muchadya kusvikira maguta,+
Uye mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu,+
Uyo akakuitirai zvinhu zvinoshamisa;
Vanhu vangu havazombonyadziswi zvakare.+
Vanhu vangu havazombonyadziswi zvakare.
28 Pashure paizvozvo ndichadurura mweya wangu+ pavanhu vemarudzi ese,
Uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita,
Vakwegura venyu vacharota hope,
Uye majaya enyu achaona zviratidzo.+
29 Uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vangu
Ndichadurura mweya wangu mumazuva iwayo.
32 Uye munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa;+
Nekuti muGomo reZiyoni nemuJerusarema ndimo muchava nevaya vachapona,+ sezvakataurwa naJehovha,
Vachapona vacho ndevaya vanoshevedzwa naJehovha.”
3 “Nekuti mumazuva iwayo nepanguva iyoyo,
Pandichadzosa nhapwa dzeJudha neJerusarema,+
2 Ndichaunganidzawo marudzi ese
Ndodzika nawo kuBani raJehoshafati.*
Ndichavatonga ikoko+
Nemhaka yezvavakaitira vanhu vangu uye nhaka yangu Israeri,
Nekuti vakavaparadzira pakati pemamwe marudzi,
Uye vakagovana nyika yangu.+
3 Vaikanda mijenya vachigovana vanhu vangu;+
Vairara nepfambi voibhadhara nekuipa kakomana,
Vachitengesa kasikana kuti vapiwe waini yekunwa.
4 Ndakakutadziraiwo chii,
Imi Tire neSidhoni, nenzvimbo dzese dzeFiristiya?
Pane zvandakakuitirai zvamuri kutsiva here?
Kana muri kunditsiva,
Ndichaita kuti zvamuri kundiitira zvidzoke kwamuri nekukurumidza zvikuru.+
5 Nekuti makatora sirivha yangu negoridhe rangu,+
Uye makaenda nepfuma yangu yakanakisisa kutemberi dzenyu;
6 Uye makatengesa vanhu vemuJudha neJerusarema kuvaGiriki,+
Kuti muvaendese kure nenyika yavo;
7 Zvino ndiri kuita kuti vadzoke vachibva kwamakavatengesa,+
Uye ndichakuitirai sezvamakavaitira.*
8 Ndichatengesa vanakomana nevanasikana venyu kuvanhu venyika yeJudha,+
Uye vachavatengesa kuvarume vekuShebha, rudzi ruri kure kure;
Nekuti Jehovha pachake azvitaura.
9 Zivisai izvi pakati pemarudzi:+
‘Gadzirirai kurwa! Kurudzirai varume vane simba!
Mauto ese ngaaswedere pedyo, ngaauye kuzorwa!+
10 Pfurai miromo yemagejo enyu kuti ive mapakatwa uye mapanga enyu ekuchekerera miti kuti ave mapfumo.
Asina simba ngaati: “Ndine simba.”
11 Uyai mubatsire, imi marudzi ese akapoteredza, unganai!’”+
Haiwa Jehovha, itai kuti vanhu venyu vane simba* vadzike kunzvimbo iyoyo.
12 “Marudzi ngaasimuke, auye kuBani raJehoshafati;
Nekuti ikoko ndichagara pasi kuti nditonge marudzi ese akapoteredza.+
13 Pinzai jeko, nekuti zvirimwa zvaibva.
Uyai muzotsika-tsika mazambiringa, nekuti chisviniro chewaini chazara.+
Waini yava kufashukira mairi kuyerera ichipinda, nekuti zvakaipa zvavo zvawandisa.
14 Mubani rekutongwa mune vanhu vakawanda zvekuwanda zviya,
Nekuti zuva raJehovha raachatonga vanhu mubani iroro rava pedyo.+
15 Zuva nemwedzi zvichasviba,
Uye nyeredzi hadzizopenyi.
16 Uye Jehovha achadzvova ari muZiyoni,
Achadanidzira ari muJerusarema.
Uye denga nenyika zvichazununguka;
Asi Jehovha achava nzvimbo yekupotera yevanhu vake,+
Rusvingo rwevaIsraeri.
17 Uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, anogara muZiyoni, gomo rangu dzvene.+
18 Zuva iroro mumakomo muchachururuka waini inotapira,+
Muzvikomo muchayerera mukaka,
Uye hova dzese dzenyika yeJudha dzichayerera mvura.
Chitubu chichayerera chichibva mumba maJehovha,+
Uye chichadiridza Bani reMibayamhondoro.
Uye Edhomu ichava sango risingagarwi,+
Nemhaka yekurwisa kwavakaita vanhu veJudha,+
Vachideura ropa risina mhosva munyika yacho.+
21 Ndichati ropa ravo randakanga ndati rine mhosva, harisisina mhosva;+
Uye Jehovha achagara muZiyoni.”+
Kureva kuti “Jehovha ndiMwari.”
Kana kuti “vepanyika.”
Muvhesi ino mutauro wechiHebheru wakashandisa mazita mana anotsanangura mhashu.
Kana kuti “Ichichema murume weudiki hwayo.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
Kana kuti “muzvirove zvipfuva.”
ChiHeb., “Tsaurai nguva tsvene yekutsanya.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Maonde akaoma avari kushanda paari nefoshoro dzavo aputana.”
Kana kuti “Hozi,” kureva imba inochengeterwa zvirimwa zvinenge zvakohwewa.
Kana kuti “vepanyika.”
Kana kuti “nezvombo zvinoita zvekukandwa.”
Kana kuti “achazvidemba pamusoro pedambudziko racho.”
Kana kuti “ozvidemba.”
ChiHeb., “Tsaurai nguva tsvene yekutsanya.”
Kana kuti “vakuru.”
Kureva, Gungwa Rakafa.
Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
Kana kuti “zviratidzo.”
Kureva kuti “Jehovha Mutongi.”
ChiHeb., “ndichaita kuti zvidzoke pamisoro yenyu.”
Kana kuti “varwi venyu.”