HOSIYA
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Hosiya* mwanakomana waBheeri mumazuva emadzimambo eJudha+ anoti, Uziya,+ Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya,+ uye mumazuva aJerobhoamu+ mwanakomana waJoashi,+ mambo weIsraeri. 2 Shoko raJehovha parakatanga kuuya kuna Hosiya, Jehovha akati kuna Hosiya: “Enda unoroora mudzimai pfambi* uve nevana vachaberekwa nechipfambi, nekuti nyika yatsauka zvakanyanya ichisiya Jehovha, ichiita sepfambi.”+
3 Saka akanoroora Gomeri mwanasikana waDhibraimu, uyo akava nepamuviri akamuberekera mwanakomana.
4 Jehovha akabva ati kwaari: “Mutumidze kuti Jezreeri,* nekuti pasina nguva ndichatonga imba yaJehu+ nemhaka yemabasa ekudeura ropa ekuJezreeri, uye ndichagumisa umambo hweimba yaIsraeri.+ 5 Zuva iroro ndichatyora uta hwaIsraeri muBani reJezreeri.”
6 Akavazve nepamuviri, akabereka mwanasikana. Uye Mwari akati kuna Hosiya: “Mutumidze kuti Ro-ruhama,* nekuti handizonzwirizve vanhu veimba yaIsraeri tsitsi,+ nekuti ndichatovadzinga.+ 7 Asi ndichanzwira vanhu veimba yaJudha tsitsi,+ uye ndichavaponesa nesimba raJehovha Mwari wavo;+ handizovaponesi neuta kana nebakatwa kana nehondo, kana nemabhiza kana nevatasvi vemabhiza.”+
8 Paakarumura Ro-ruhama, akavazve nepamuviri, akabereka mwanakomana. 9 Mwari akabva ati: “Mutumidze kuti Ro-ami,* nekuti imi hamusi vanhu vangu uye ini handizovi wenyu.
10 “VaIsraeri vachawanda sejecha regungwa risingayereki kana kuverengeka.+ Munzvimbo yavakambonzi, ‘Hamusi vanhu vangu,’+ vachanzi, ‘Vanakomana vaMwari mupenyu.’+ 11 VaJudha nevaIsraeri vachaunganidzwa pamwe chete vobatana+ uye vachasarudza mutungamiriri mumwe chete, vobuda munyika yacho, nekuti zuva reJezreeri richava zuva rakakosha kwazvo.+
2 “Udzai vakoma nevanin’ina venyu kuti, ‘Muri vanhu vangu!’*+
Uye muti kuhanzvadzi dzenyu, ‘Iwe mukadzi akanzwirwa tsitsi!’*+
Ngavasiye upfambi* hwavo
Neupombwe huri pakati pemazamu avo,
3 Kana vakasadaro, ndichavapfekenura ndoita kuti vasare vakaita sezvavaiva pavakaberekwa,
Vosara vakaita serenje,
Uye ndichavasiya vaita senyika isina mvura,
Ndoita kuti vafe nenyota.
4 Handizonzwiri vanakomana vavo tsitsi,
Nekuti vana veupombwe.
5 Nekuti amai vavo vakaita upfambi.+
Nyakuvatakura mudumbu akaita zvinonyadzisa,+ nekuti akati,
‘Ndichaenda kune vaya vandinopengesana navo,
Vaya vanondipa zvekudya nemvura,+
Nenguo dzakagadzirwa nemvere dzemakwai, nemachira, nemafuta nezvinwiwa.’
6 Saka ndichavhara nzira yako neminzwa;
Uye ndichamuvakira rusvingo rwematombo,
Kuti ashaye makwara ake.
Achabva ati, ‘Ndichadzokera kumurume wangu wekutanga,+
Nekuti panguva iyoyo zvinhu zvaindifambira zvakanaka kupfuura zvazvava iye zvino.’+
8 Haana kuzviona kuti ndini ndakanga ndamupa zviyo,*+ newaini itsva, nemafuta,
Uye kuti ndini ndakanga ndamupa sirivha yakawanda
Negoridhe, izvo zvavakashandisa pakunamata Bhaari.+
9 ‘Saka ndichadzoka ndotora zviyo zvangu panguva yekukohwa
Newaini yangu itsva panguva yekusvina mazambiringa,+
Uye ndichabvuta nguo dzangu dzakagadzirwa nemvere dzemakwai nemachira angu zvandakamupa, kuti arege kufamba asina kupfeka.
10 Iye zvino ndichafukura nhengo dzake dzakavanzika vadiwa vake vakatarisa,
Uye hapana murume achamununura muruoko rwangu.+
11 Ndichaita kuti mufaro wake wese upere,
Nemitambo yake,+ nekugara kwemwedzi, nemasabata ake, nemwaka yake yese yemitambo.
12 Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti nezvayo:
“Ndiwo mubhadharo wangu wandakapiwa nevadiwa vangu”;
Ndichairega ichiita sango,
Uye ichadyiwa nemhuka dzesango.
13 Ndichamutonga pamusoro pemazuva aaipa zvibayiro kumifananidzo yaBhaari,+
Paaizvishongedza nemarin’i nezvimwe zvishongo, achindenderedzana nevadiwa vake,
Achindikanganwa,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
15 Panguva iyoyo ndichamudzorera minda yake yemizambiringa,+
NeBani reAkori+ kuti ave netariro;
Achapindura ari ikoko sezvaaiita paaiva mudiki,
Sepaya paakabuda munyika yeIjipiti.+
16 Zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Uchandishevedza kuti murume Wangu, uye hauzondishevedzi uchiti tenzi Wangu.’*
18 Zuva iroro ndichaita sungano nemhuka dzesango ndichiitira vanhu vangu,+
Uye neshiri dzedenga nezvinhu zvinokambaira panyika;+
Ndichabvisa uta nemapakatwa nehondo munyika yacho,+
Uye ndichaita kuti vagare vasina chekutya.+
19 Ndichakutora kuti uve wangu nekusingaperi;
Ndichatsidza kukuitira zvakarurama uye zvakanaka,
Ndichikuratidza rudo rusingachinji netsitsi.+
21 ‘Ndichapindura zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Ndichapa denga mhinduro yangu,
Uye iro richapindurawo nyika;+
22 Nyika ichapa mhinduro kuzviyo newaini itsva nemafuta;
23 Ndichamudyara panyika sembeu kuti ave wangu,+
Uye ndichanzwira tsitsi uya akanga asina kunzwirwa tsitsi;*
Ndichati kune vaya vasiri vanhu vangu:* “Muri vanhu vangu,”+
Uye ivo vachati: “Muri Mwari wedu.”’”+
3 Jehovha akabva ati kwandiri: “Enda kumukadzi ari kudanana nemumwe murume uye ari kuita upombwe umude zvakare,+ sezviri kuitwa naJehovha uyo anoda vaIsraeri+ kunyange zvazvo vachienda kune vamwe vanamwari+ uye vachida makeke emazambiringa akaomeswa.”*
2 Saka ndakamutenga nemasirivha 15 nebhari yaisvika homeri* imwe chete nehafu. 3 Ndakabva ndamuti: “Ucharamba uri wangu kwemazuva mazhinji. Usaita chipfambi* uye usarara nemumwe murume, uye iniwo ndizvo zvandichakuitira.”*
4 Imhaka yekuti vaIsraeri vachaita nguva yakareba* vasina mambo,+ vasina jinda, vasina chibayiro, vasina mbiru, uye vasina efodhi*+ nezvidhori.*+ 5 Pashure paizvozvo vaIsraeri vachadzoka, votsvaga Jehovha Mwari wavo+ naDhavhidhi mambo wavo;+ uye mumazuva ekupedzisira vachauya kuna Jehovha vachidedera kuti avaitire zvakanaka.+
4 Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri,
Nekuti Jehovha ane mhosva yaari kuda kutonga vagari vemunyika,+
Nekuti munyika hamuna chokwadi kana rudo* kana kuziva Mwari.+
2 Mhiko dzenhema, nekunyepa,+ neumhondi,+
Nekuba, neupombwe,+ zvazara munyika,
Uye vanoramba vachideura ropa pamusoro perimwe.+
Uye munhu wese anogara mairi achaperezeka;
Mhuka dzesango dzichaparara pamwe chete neshiri dzedenga,
Kunyange hove dzemumakungwa dzichafa.
4 “Asi ngapasava hapo nemunhu anopikisa kana anotsiura,+
Nekuti vanhu vako vakaita sevaya vanorwisana nemupristi.+
5 Saka uchapiringishwa masikati machena,
Uye muprofita achapiringishwa pamwe chete newe, sezvinonzi usiku.
Uye ndichaita kuti amai vako vanyarare.*
6 Vanhu vangu vachaitwa kuti vanyarare,* nekuti havandizivi.
Zvawakaramba kundiziva,+
Ndicharambawo kuti uve mupristi wangu;
Uye zvawakakanganwa mutemo waMwari wako,+
Iniwo ndichakanganwa vanakomana vako.
7 Pavaiwanda, vaibva vatowedzerawo kunditadzira.+
Ndichaita kuti vazvidzwe pane kuti vakudzwe.*
8 Vanodya nyama inouya nevanhu vangu yekukanganisa kwavanenge vaita,
Uye vanotofarira kuti vanhu vangu vatadze.
9 Zvichaitika kuvanhu ndizvo zvichaitikawo kumupristi;
Ndichavatongera nzira dzavo,
Uye ndichaita kuti zvavakaita zvivadzokere.+
12 Vanhu vangu vanobvunza zvidhori zvavo zvematanda,
Vachiita zvavanoudzwa netsvimbo yavo;*
Nekuti kuda chipfambi ndiko kunoita kuti vatsauke,
Uye vanoramba kuteerera Mwari pavanoita chipfambi chavo.
13 Vanopa zvibayiro pamusoro pemakomo,+
Uye vanopfungaidza utsi hwezvibayiro pamusoro pezvikomo,
Nepasi pemiti yemioku nemistorakisi nepasi pemiti yese mikuru,+
Nekuti ine mimvuri yakanaka.
Ndokusaka vanasikana venyu vachiita chipfambi,
Uye varoora venyu vachiita upombwe.
14 Handizorangiri vanasikana venyu chipfambi chavo,
Uye varoora venyu upombwe hwavo.
Nekuti varume vanotorana nemahure voenda,
Vopa zvibayiro pamwe chete nepfambi dzepatemberi;
Vanhu vakadaro vasinganzwisisi+ vachaparara.
16 Nekuti Israeri aoma musoro+ semhou inonetsa.
Saka Jehovha angavafudza segondohwe diki mumafuro akakura here?
17 Efremu haasiyani nezvidhori.+
Muregei akadaro!
Uye vatongi vake vanotorwarira kuzvidzwa.+
Ipai nzeve, imi imba yaIsraeri,
Teererai, imi imba yamambo,
Nekuti muri kubatanidzwawo pamutongo wacho;
Nekuti muri chiteyeso muMizpa
Uye muri mambure akatambanudzwa pamusoro peTabhori.+
3 Efremu ndinomuziva,
Uye ndinoona zvese zvinoitwa naIsraeri.
4 Zvavari kuita zviri kuvatadzisa kudzoka kuna Mwari wavo,
Nekuti vanongoda kuita zvechipfambi;+
Uye havafungi nezvaJehovha.
5 Kudada kwaIsraeri ndiko kwapupurira kuti ane mhosva;+
Kutadza kwaIsraeri naEfremu kwavakanganisa,
Uye Judha akanganiswa pamwe chete navo.+
6 Vakaenda kunotsvaga Jehovha vaine makwai avo nemombe dzavo,
Asi vakamushaya.
Akanga asiyana navo.+
Zvino mwedzi* uchavaparadza* pamwe chete nemigove* yavo.
8 Ridzai hwamanda+ muGibhiya, uye ridzai bhosvo muRama!+
Itai mheremhere yehondo kuBheti-avheni;+ tiri kukutsigira iwe Bhenjamini!
9 Iwe Efremu, vanhu vacharohwa nehana pazuva raucharangwa.+
Ndazivisa zvichaitika kumadzinza aIsraeri uye zvichatoitika.
10 Machinda eJudha akaita sevaya vari kuchinja pane muganhu.+
Ndichadurura kutsamwa kwangu pavari semvura.
11 Efremu ari kudzvinyirirwa, achirwadziwa nemutongo waakapiwa,
Nekuti aiomesa musoro achibatana nemuvengi.+
12 Saka ndakanga ndakaita sechitemamachira* kuna Efremu
Uye sechinhu chinoodza zvinhu kuimba yaJudha.
13 Efremu paakaona urwere hwake, uye Judha paakaona ronda rake,
Efremu akaenda kuAsiriya+ akatumira shoko kuna mambo mukuru.
Asi akatadza kukuporesai,
Uye haana kurapa ronda renyu.
Ini pachangu ndichavabvambura-bvambura ndoenda;+
Ndichavatakura ndoenda navo, uye hapana achavanunura.+
15 Ndichadzokera kunzvimbo yangu kusvikira vatambura nekukanganisa kwavo,
Vachabva vatsvaga kunzwirwa nyasha neni.+
Vachanditsvaga pavanenge vava kutambudzika.”+
Akatirova asi achasunga maronda edu.
2 Achaita kuti tiraramezve panopera mazuva maviri.
Achatimutsa pazuva rechitatu,
Uye tichavazve vapenyu pamberi pake.
3 Tichamuziva, tichatsvaga Jehovha nemwoyo wese kuti timuzive.
Haamboregi kuuya kungofanana nezuva risingamboregi kubuda;
Achauya kwatiri sedzvotsvotsvo remvura,
Semvura yemasutso* inoita kuti pasi pagute nemvura.”
4 “Ndoita sei newe Efremu?
Ndoita sei newe Judha?
Nekuti rudo rwako* rwakaita semakore emangwanani,
Sedova rinokurumidza kupera.
5 Ndokusaka ndichavatema vachiwira pasi ndichishandisa vaprofita;+
Ndichavauraya nemashoko emuromo wangu.+
Mitongo yenyu ichapenya sechiedza.+
6 Nekuti ndinofarira rudo rusingachinji,* kwete chibayiro,
Uye ndinofarira kuziva Mwari kwete zvibayiro zvinopiswa.+
7 Asi ivo vakaputsa sungano yangu, sezvinongoitwa nevanhu.+
Vakandiitira zvinhu zvine unyengeri munyika yavo.
9 Vapristi vakaita semapoka anopamba anenge akahwandira munhu.
Vanoponda vari panzira yekuShekemu,+
Nekuti vane unhu hunonyadzisa.
10 Ndakaona chinhu chinosemesa muimba yaIsraeri.
11 Uyezve, iwe Judha nguva yekukohwewa kwako yasarudzwa,
Nguva yandichadzosa vanhu vangu vakatapwa.”+
7 “Pandinoedza kuporesa Israeri,
Kukanganisa kwaEfremu kunobva kwava pachena,+
Pamwe chete nekuipa kweSamariya.+
Nekuti vane unyengeri;+
Mbavha dzinopaza dzichipinda uye vanhu vavo vanopamba vanotora zvinhu kunze.+
2 Asi havatombofungi kuti ndichayeuka zvakaipa zvavo zvese.+
Iye zvino zvavakaita zvavakomba;
Ndiri kuzviona zvese.
3 Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo,
Uye machinda neunyengeri hwavo.
4 Vese zvavo imhombwe,
Vanopisa seovheni iri kukuchidzirwa nemubiki,
Yaanomira kukuchidzira paanopedza kukanya mukanyiwa, yoramba ichibvira kusvikira mukanyiwa wacho wafuta.
Iye atambanudzira ruoko rwake kuvaseki.
6 Nekuti vanouya mwoyo yavo ichipisa seovheni.*
Mubiki anorara usiku hwese;
Mangwanani ovheni yacho inenge ichipisa serimi remoto.
7 Vese zvavo vanopisa seovheni,
Uye vanoparadza vatongi vavo.
8 Efremu anobatana nemamwe marudzi.+
Efremu akaita sekeke reraundi risina kupindurwa.
9 Vatorwa vakamupedza simba+ asi haazvizivi.
Uye bvudzi rake rachena, asi haazvioni.
10 Kudada kwaIsraeri kwamupupurira kuti ane mhosva,+
Asi havana kudzoka kuna Jehovha Mwari wavo,+
Uye havana kumutsvaga pasinei nezvinhu zvese izvi.
11 Efremu akaita senjiva yakapusa, isingafungi.+
Vakakumbira kubatsirwa neIjipiti;+ vakaenda kuAsiriya.+
12 Kwese kwavanoenda, ndichaisa mambure angu pamusoro pavo.
Ndichavadonhedzera pasi seshiri dzedenga.
Ndichavaranga sekunyeverwa kwakaitwa ungano yavo.+
13 Vane nhamo, nekuti vakanditiza!
Ngavaparadzwe nekuti vakanditadzira!
Ndainge ndakatomirira kuti ndivadzikinure, asi ivo vakataura nhema nezvangu.+
14 Kunyange zvazvo vakaramba vachiridza mhere vari pamibhedha yavo,
Havana kundishevedza nemwoyo wese kuti ndivabatsire.+
Vaizvicheka-cheka kuti vawane zvirimwa newaini itsva;
Vanondipandukira.
15 Kunyange zvazvo ndakavaranga uye ndakasimbisa maoko avo,
Vanorwisana neni, vachironga zvakaipa.
16 Vakachinja nzira yavo, asi yavakatora yacho haibatsiriwo;*
Vakanga vasingabatsiri seuta hwakadhamba.+
Machinda avo achaurayiwa nebakatwa nemhaka yemashoko ekupanduka aanotaura.
Izvi zvichaita kuti vashorwe munyika yeIjipiti.”+
Pane ari kuuya segondo kuzorwisa imba yaJehovha,+
Nekuti vakaputsa sungano yangu+ uye havana kuteerera mutemo wangu.+
2 Vanoshevedzera kwandiri vachiti, ‘Isu vaIsraeri tinokuzivai, imi Mwari wedu!’+
3 Israeri aramba kuita zvakanaka.+
Muvengi ngaamutevere.
4 Vakagadza madzimambo ndisina kuvaudza.
Vakagadza machinda, asi handina kubvumirana nazvo.
5 Mhuru yako yarambwa iwe Samariya.+
Ndavatsamwira kwazvo.+
Vachasvika riini vachitadza kuita zvakanaka?*
6 Nekuti Israeri ndiye akazvitanga.
Haisi Mwari; yakagadzirwa nemhizha;
Mhuru yekuSamariya ichapwanywa-pwanywa.
Hapana dzinde rinobereka zviyo zvakasvika.+
Chero chinenge chamera hachiiti kuti pave nefurawa.
Kana ikavapo, ichadyiwa nevatorwa.+
Iye zvino vachava pakati pemamwe marudzi,+
Vachiita semudziyo usingadiwi.
9 Nekuti vakaenda kuAsiriya+ sedhongi remusango rinogara rega.
Efremu abhadhara pfambi kuti dzimude.+
10 Kunyange zvazvo vachitora pfambi dzacho kune mamwe marudzi,
Iye zvino ndichavaunganidza;
Vachatanga kurwadziwa+ nemutoro wavakatakudzwa namambo nemachinda.
11 Nekuti Efremu ava neatari dzakawanda.+
Paatari idzodzo ndipo paanotadzira.+
Iye zvino achayeuka kukanganisa kwavo ovarangira zvivi zvavo.+
14 Israeri akanganwa Muiti wake+ uye ane temberi dzaavaka,+
Uye Judha ava nemaguta akawanda akakomberedzwa nemasvingo.+
Asi ndichatumira moto mumaguta ake,
Uye uchaparadza shongwe dziri mumaguta acho ese.”+
Nekuti chipfambi chako chakaita kuti usiye Mwari wako.+
Waifara chaizvo nemubhadharo wawaipiwa pawaiita chipfambi chako munzvimbo dzese dzinopurirwa zvirimwa.+
2 Asi hapana chekudya kana chekunwa chavachawana kubva paburiro* uye muchisviniro chewaini,
Uye haazowani waini itsva.+
3 Havazorambi vachigara munyika yaJehovha;+
Efremu achadzokera kuIjipiti,
Uye vachadya zvinhu zvisina kuchena kuAsiriya.+
Zvakaita sezvekudya zvepamariro;
Vese vanozvidya vachazvisvibisa.
Nekuti zvekudya zvavo ndezvavo vega;
Hazvizopindi muimba yaJehovha.
6 Nekuti vachatotiza chete nemhaka yekuparadza kunenge kuchiitwa.+
Ijipiti ichavaunganidza+ uye Memfisi ichavaviga.+
Rukato ruchatora zvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha,
Uye mumatende avo muchava nemakwenzi ane minzwa.
Muprofita wavo achaita benzi, uye munhu anozviti anofemerwa achapenga;
Uri kuvengwa zvikuru nekuti zvikanganiso zvako zvizhinji.”
8 Murindi+ waEfremu ainge akatendeka kuna Mwari wangu.+
Asi iye zvino, zvinhu zvese zviri kuitwa nevaprofita vake+ zvakaita sechiteyeso chemubati weshiri;
Muimba yaMwari wake mune ruvengo.
9 Vanyura muzvinhu zvichavaurayisa, sepamazuva eGibhiya.+
Iye achayeuka kukanganisa kwavo ovarangira zvivi zvavo.+
10 “Ndakawana Israeri akaita semazambiringa ari murenje.+
Ndakaona madzitateguru enyu akaita semaonde anotanga kuibva pamuti wemuonde panguva yekutanga kukohwa.
Asi ivo vakaenda kuna Bhaari wePeori;+
Vakazvipira kuchinhu chinonyadzisa,*+
Uye vakatanga kusemesa sezvaingoita chinhu chavaida.
11 Kukudzwa kwaEfremu kunobhururuka kuchienda seshiri;
Hapana anosununguka mwana, uye hapana ane pamuviri kana anobata pamuviri.+
12 Kunyange kana vakarera vana,
Ndichauraya vana vacho kusvikira vapera vese;+
Chokwadi vachatambura pandichavaramba!+
13 Efremu akanga akaita seTire+ kwandiri paakanga akadyarwa mumafuro;
Iye zvino Efremu anofanira kubudisa vanakomana vake kuti vaurayiwe.”
15 “Zvakaipa zvavo zvese zvaiva kuGirigari,+ nekuti ikoko ndiko kwandakatanga kuvavenga.
Ndichavadzinga mumba mangu nemhaka yezvakaipa zvavo.+
Ndichange ndisisavade;+
Machinda avo ese akaoma musoro.
Mudzi wavo uchaoma uye havazobereki michero.
Kunyange kana vakabereka, ndichauraya vana vavo vavanoda.”
10 “Israeri muzambiringa wemusango* unobereka michero.+
Michero yaanobereka painowanda, iye anobva awedzerawo atari dzake;+
Goho renyika yake parinowedzera, shongwe dzake dzinoyera dzinowedzerawo kunaka.+
2 Mwoyo yavo ine unyengeri;
Iye zvino vachabatwa nemhosva.
Pane achaputsa atari dzavo, oparadza shongwe dzavo.
3 Zvino vachati, ‘Hatina mambo,+ nekuti hatina kutya Jehovha.
Uye mambo ane chaangatiitira here?’
4 Vanotaura mashoko asingabatsiri, vanoita mhiko dzenhema,+ uye vanoita sungano;
Saka mitongo yavanopa yakaita semasora anouraya ari mumiforo mumunda.+
5 Vagari vemuSamariya vachatyira chidhori chavo, iyo mhuru yekuBheti-avheni.+
Vanhu vacho vachachichema
Sezvichaitwa nevapristi vavanamwari vekune dzimwe nyika avo vaichifarira uye vaifarirawo kukudzwa kwacho,
Nekuti vachachitorerwa choendwa nacho.
6 Chichaendeswa kuAsiriya chopiwa sechipo kuna mambo mukuru.+
Efremu achanyadziswa,
Uye Israeri achanyara nezano raakatevera.+
8 Nzvimbo dzakakwirira dzekuBheti-avheni+ idzo dzinoita kuti Israeri atadze,+ dzichaparadzwa.+
Paatari+ dzavo pachamera minzwa nemasora anobaya.
Vanhu vachati kumakomo, ‘Tifushirei!’
Uye kuzvikomo, ‘Tiwirei!’+
9 Iwe Israeri, wakatadza kubvira pamazuva eGibhiya.+
Vakaramba vachingodaro vari ikoko.
Hondo haina kupedza vanhu vasina kururama muGibhiya.
10 Ndichavaranga pandinenge ndava kuda.
Marudzi achavamomotera
Pavanenge vabopwa pajoko rezvivi zvavo zviviri.*
11 Efremu aiva tsiru rakapingudzwa raifarira kupura,
Saka handina kuremedza mutsipa wake wakanaka.
Iye zvino ndichaita kuti mumwe munhu atasve* Efremu.+
Judha acharima; Jakobho ndiye achamuputsira mavhinga.
12 Dyarai mbeu yekururama, mokohwa rudo rusingachinji.
Rimai nyika inorimika+
Nguva yekutsvaga Jehovha isati yapera,+
Kusvikira auya, okudzidzisai zvinhu zvakarurama.+
13 Asi imi makarima zvakaipa,
Mukakohwa zvisina kururama,+
Uye makadya zvakaberekwa neunyengeri;
Nekuti makavimba nenzira yenyu,
Nevarwi venyu vakawanda.
14 Vanhu vako vachamutsirwa mheremhere,
Uye maguta ako akakomberedzwa nemasvingo achaparadzwa ese,+
Sekuparadza kwakaita Sharimani imba yaAribheri,
Pazuva rehondo, paya pakaparadzwa vanaamai pamwe chete nevana vavo.
15 Izvi ndizvo zvichaitwa kwauri iwe Bheteri,+ nemhaka yezvakaipa zvako zvakanyanyisa.
Chokwadi mambo weIsraeri achaparadzwa mambakwedza.”+
Vakaramba vachibayira zvibayiro kumifananidzo yaBhaari+
Uye vachipa zvibayiro kumifananidzo yakavezwa.+
3 Ndini ndakadzidzisa Efremu kufamba,+ ndichivatakura mumaoko angu;+
Asi havana kubvuma kuti ndakanga ndavaporesa.
4 Ndakaramba ndichivakweva netambo dzemunhu,* netambo dzerudo;+
Ndaiita semunhu ari kubvisa joko pamitsipa yavo,
Uye ndakaunzira mumwe nemumwe wavo zvekudya neunyoro.
5 Havazodzokeri kunyika yeIjipiti, asi Asiriya ndiyo ichava mambo wavo,+
Nekuti vakaramba kudzoka kwandiri.+
6 Bakatwa richavheya richirwisa maguta ake+
Roparadza mazariro* ake uye rovaparadza nemhaka yezvavakafurirana kuita.+
7 Vanhu vangu vanongoda kuita zvinhu zvisina kutendeka kwandiri.+
Kunyange zvazvo vakavashevedza kuti vakwidze kumusoro,* hapana ari kukwidza.
8 Ndingakusiya here nhai Efremu?+
Ndingakuisa mumaoko evamwe here nhai Israeri?
Ndingakubata seAdma here?
Ndingakuita seZebhoimu here?+
Ndachinja pfungwa
Uye mwoyo wangu uri kurwadza.+
9 Handizoratidzi kutsamwa kwangu kukuru.
Handizoparadzizve Efremu,+
Nekuti handisi munhu asi ndiri Mwari,
Iye Mutsvene ari pakati pako;
Uye handizouyi kwauri ndakashatirwa.
10 Vachatevera Jehovha uye achadzvova seshumba;+
Paachadzvova, vanakomana vake vachauya vachidedera vachibva kumavirira.+
11 Vachadedera seshiri pavachabuda muIjipiti,
Uye senjiva pavachabuda munyika yeAsiriya;+
Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
Asi Judha achiri kufamba naMwari,
Uye akavimbika kuna Iye Mutsvenetsvene.”+
12 “Efremu ari kudya mhepo.
Anoswera achidzingirira mhepo yekumabvazuva.
Nhema dzake nemhirizhonga zviri kuwanda.
Vanoita sungano neAsiriya+ uye vanoendesa mafuta kuIjipiti.+
2 Jehovha ane nyaya yaari kuda kutonga Judha;+
Achatonga Jakobho zvinoenderana nenzira dzake,
Uye achamuitira zvinoenderana nemabasa ake.+
4 Akaramba achiita mutsimba nengirozi, akakunda.
Akachema uye akateterera kuti imunzwire nyasha.”+
6 “Saka dzokera kuna Mwari wako,+
Iva nerudo rusingachinji uye ramba uchiita zvakarurama,+
Uye tariro yako ngaive muna Mwari wako nguva dzese.
Uye havazowani chinhu chisina kunaka kana kuti chakaipa pabasa rangu rese.’
9 Asi ini ndini Jehovha Mwari wako kubvira uchiri munyika yeIjipiti.+
Ndichakugarisazve mumatende
Sepamazuva enguva yakasarudzwa.*
Ndikawedzera zviratidzo zvandaivaonesa,
Uye ndakataura mifananidzo ndichishandisa vaprofita.
11 MuGiriyedhi muri kuitwa unyengeri*+ uye zvinhu zvenhema.
Vakabayira mikono yemombe muGirigari,+
Uye atari dzavo dzakaita semirwi yematombo iri mumiforo mumunda.+
12 Jakobho akatizira kunyika yeAramu;*+
Israeri+ akashanda ikoko kuti awane mudzimai,+
Uye akafudza makwai kuti awane mudzimai.+
13 Jehovha akabudisa Israeri muIjipiti achishandisa muprofita,+
Uye akamuchengetedza achishandisa muprofita.+
14 Efremu akatsamwisa Mwari kwazvo;+
Achiri nemhosva yake yekudeura ropa;
Tenzi wake achamurangira kuzvidza kwake.”+
Asi akava nemhosva yekunamata Bhaari,+ achibva afa.
2 Iye zvino vari kuwedzera zvivi zvavo,
Vachigadzira mifananidzo yesimbi* vachishandisa sirivha yavo;+
Vanogadzira zvidhori neunyanzvi, uye zvese hazvo ibasa remhizha.
Vanoti, ‘Vanhu vanopa zvibayiro ngavatsvode mhuru.’+
3 Saka vachaita semakore emangwanani,
Sedova rinokurumidza kupera,
Sehundi inopeperetswa nedutu ichibviswa paburiro,*
Uye seutsi hunobuda paburi redenga remba.
4 Asi ini ndini Jehovha Mwari wako kubvira uchiri munyika yeIjipiti;+
Hapana Mwari wawaiziva kunze kwangu,
Uye hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.+
5 Ndakakuziva uri murenje,+ uri munyika isinganayi mvura.
Saka vakandikanganwa.+
8 Ndichavarwisa semhuka inonzi bheya yarasa vana vayo,
Uye ndichatsemura zvipfuva zvavo.
Ndichavadyira ipapo sezvinoitwa neshumba;
Chikara chichavabvambura-bvambura.
9 Chichakuparadza iwe Israeri,
Nekuti wakandipandukira, ini mubatsiri wako.
10 Zvino mambo wako ari kupi kuti akuponese mumaguta ako ese,+
Nevatungamiriri* vako, vaya vawaiti nezvavo,
‘Ndipei mambo nemachinda’?+
12 Zvivi zvaEfremu zvaverengwa zvikaputirwa;
Kutadza kwake kwachengetwa.
13 Achabatwa nemarwadzo ekusununguka.
Asi iye mwana asina njere;
Kana nguva yekuti aberekwe yakwana, anoramba kubuda.
Nhai Rufu, kuruma kwako kuri kupi?+
Nhai Guva, kuparadza kwako kuri kupi?+
Ini handizonzwiri tsitsi.
15 Kunyange kana akakura zvakanaka pakati petsanga,
Mhepo yekumabvazuva ichauya, iyo mhepo yaJehovha,
Ichauya ichibva murenje kuti iomese tsime rake nechitubu chake.
Zvinhu zvake zvese zvinokosha zviri munochengeterwa pfuma yake zvichapambwa.+
16 Samariya ichava nemhosva,+ nekuti yapandukira Mwari wayo.+
Vachaurayiwa nebakatwa,+
Vana vavo vachadimburwa-dimburwa,
Uye vakadzi vavo vane pamuviri vachatumburwa.”
2 Dzokai kuna Jehovha mutaure mashoko aya,
Itii kwaari, ‘Tiregerereiwo kukanganisa kwedu+ uye gamuchirai zvakanaka zvatinokuitirai,
Uye tichakurumbidzai nemiromo yedu+ sekukupai kwatinoita zvibayiro zvemikono midiki yemombe.
Hatizotasvi mabhiza,+
Uye hatizotizve, “Haiwa Mwari wedu,” tichidaro kubasa remaoko edu,
Nekuti ndimi munonzwira nherera tsitsi.’+
4 Ndichavabatsira kuti vavezve vanhu vakatendeka.+
6 Tumapazi twake tuchareba,
Achange akanaka semuti wemuorivhi,
Uye kunhuhwirira kwake kuchaita sekwemiti yekuRebhanoni.
7 Vachatangazve kugara pamumvuri wake.
Vacharima zviyo,* uye vachatungira semuzambiringa.+
Mukurumbira wake uchaita sewewaini yekuRebhanoni.
8 Efremu achati, ‘Ndichadirei zvidhori?’+
Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.+
Ndichaita semujunipa wakasvibirira.
Muchawana michero pandiri.”
9 Ndiani akachenjera? Kana aripo ngaanzwisise zvinhu izvi.
Ndiani akangwara? Ngaazvizive.
Nekuti nzira dzaJehovha dzakarurama,+
Uye vakarurama vachafamba madziri;
Asi vatadzi vachagumburwa madziri.
Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Hoshaya, rinoreva kuti “Kuponeswa naJah; Jah Aponesa.”
Kana kuti “nzenza; chifeve.”
Kureva kuti “Mwari Achadyara Mbeu.”
Kureva kuti “Asina Kunzwirwa Tsitsi.”
Kureva kuti “Havasi Vanhu Vangu.”
Ona mashoko emuzasi pana Ho 1:9.
Ona mashoko emuzasi pana Ho 1:6.
Kana kuti “unzenza; ufeve.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “Bhaari Wangu.”
Kureva kuti “Mwari Achadyara Mbeu.”
Ona mashoko emuzasi pana Ho 1:9.
Ona mashoko emuzasi pana Ho 1:6.
Kureva, makeke aishandiswa pakunamata kwenhema.
Homeri uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “unzenza; ufeve.”
Kana kuti “uye iniwo handizorari newe.”
ChiHeb., “mazuva mazhinji.”
Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”
Kana kuti “rudo rusingachinji.”
Kana kuti “ndichaparadza amai vako.”
Kana kuti “vachaparadzwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Vakaita kuti ndizvidzwe pane kuti ndikudzwe.”
Kana kuti “unzenza hwakanyanya.”
Kana kuti “netsvimbo yavo yemunhu anoshopera.”
Kana kuti “doro ravo regorosi.”
Kana kuti “ichamutakura.”
Kana kuti “Vapanduki.”
Kana kuti “Uye ndichavaranga.”
Kana kuti “unzenza; ufeve.”
Kureva, mwedzi wegore kwete wemudenga.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Vachaparadzwa mwedzi mumwe chete usati wapera.”
Kana kuti “neminda.”
Aka kachipembenene kanodya machira.
Kana kuti “seshumba yava nezenze.”
Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.
Kana kuti “rudo rwako rusingachinji.”
Kana kuti “ngoni.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Nekuti pavanouya nemanomano avo, mwoyo yavo inenge yakaita seovheni.”
Kureva kuti havana kudzokera pakunamata kwechokwadi.
Kana kuti “vachitadza kuzvichenesa?”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Vachadzokera.”
Kana kuti “pazuva renyu remabiko.”
Kana kuti “kuna mwari anonyadzisa.”
Kana kuti “nemazamu akaputana.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “unotanda.”
ChiHeb., “vachaitwa kuti vanyarare.”
Kureva kuti kurangwa kwavo pakunenge kuchivaremera sejoko.
Kana kuti “abope.”
Kureva, vaprofita nevamwe vanhu vaitumwa kunodzidzisa vaIsraeri.
Kana kuti “netambo dzemutsa,” dzakaita sedzemubereki.
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
Kureva kuti vadzokere pakunamata kwechokwadi kunodiwa neWekumusorosoro.
Dzimwe shanduro dzinoti, “emutambo.”
Kana kuti “zvemashiripiti.”
Kana kuti “yeSiriya.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
ChiHeb., “Nevatongi.”
Kana kuti “reSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.