DHANIERI
1 Mugore rechitatu rekutonga kwaMambo Jehoyakimu+ weJudha, Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akasvika kuJerusarema akarikomba.+ 2 Nekufamba kwenguva, Jehovha akaisa Mambo Jehoyakimu weJudha muruoko rwaNebhukadhinezari+ pamwe chete nemimwe midziyo yemuimba* yaMwari wechokwadi, achibva aenda nayo kunyika yeShinari,*+ kuimba yamwari wake. Akaisa midziyo yacho munochengeterwa pfuma yamwari wake.+
3 Mambo akabva audza Ashpenazi uyo aiva mukuru wemumuzinda make kuti auye nevamwe vaIsraeri kusanganisira vaya veimba yeumambo uye vemhuri dzinoremekedzwa.+ 4 Vaifanira kunge vari vechidiki vasina kana pakaremara, vane chimiro chakanaka, vaine uchenjeri, neruzivo, neungwaru,+ vachikodzera kushanda mumuzinda wamambo. Aifanira kuvadzidzisa mutauro wevaKadheya uye manyorerwo awo. 5 Mambo akarayirawo kuti vapiwe zvekudya zuva nezuva zvaibva pamachikichori aidyiwa namambo newaini yaainwa. Vaifanira kudzidziswa* kwemakore matatu, uye kana makore iwayo apera vaifanira kutanga kushandira mambo.
6 Pakati pavo paiva nevamwe vedzinza raJudha vaiti: Dhanieri,*+ Hananiya,* Mishaeri,* naAzariya.*+ 7 Mukuru wemumuzinda akavapa mazita* anotevera: Dhanieri akamupa rekuti Bheteshazari,+ Hananiya rekuti Shadreki, Mishaeri rekuti Misheki, uye Azariya rekuti Abhedhinego.+
8 Asi Dhanieri akatsidza mumwoyo make kuti aisazozvisvibisa nezvekudya zvamambo newaini yake. Saka akakumbira mukuru wemumuzinda kuti amupe mvumo yekurega kudya zvinhu izvi zvaizomusvibisa. 9 Mwari wechokwadi akabva aita kuti mukuru wemumuzinda anzwire Dhanieri tsitsi nenyasha.+ 10 Asi mukuru wemumuzinda akati kuna Dhanieri: “Ndiri kutya ishe wangu mambo uyo akataura zvamunofanira kudya nekunwa. Ko akazokuonai maonda kupfuura vamwe vana vezera renyu? Mambo anozondipa mhosva.” 11 Asi Dhanieri akati kumunhu ainge agadzwa nemukuru wemumuzinda kuti achengete iye Dhanieri wacho, naHananiya, naMishaeri, naAzariya: 12 “Ndinokumbirawo kuti mumboedza vashandi venyu kwemazuva gumi, muchiita kuti tidye miriwo nekunwa mvura; 13 mozoenzanisa miviri yedu nemiviri yevamwe vechidiki vari kudya machikichori amambo, mobva maitira varanda venyu zvinoenderana nezvamuchaona.”
14 Saka akabvuma kuita zvavakakumbira, akavaedza kwemazuva gumi. 15 Pakapera mazuva gumi, vaitotaridzika zvakanaka uye vaiva neutano kupfuura vamwe vana vaidya machikichori amambo. 16 Saka muchengeti wavo aibvisa zvekudya zvekwamambo newaini yavaifanira kunwa achivapa miriwo. 17 Asi Mwari wechokwadi akapa vana ava, vari vana, uchenjeri neruzivo nenjere zvekuti vainzwisisa mabhuku ese; uye Dhanieri akabatsirwa kuti anzwisise zviratidzo zvese nehope.+
18 Pakasvika nguva yakanga yataurwa naMambo Nebhukadhinezari kuti vana vacho vazounzwa,+ mukuru wemumuzinda akavaendesa kwaari. 19 Mambo paakataura navo, akaona kuti pavana vacho vese hapana akanga akaita saDhanieri, Hananiya, Mishaeri, naAzariya;+ uye vakaramba vachishumira pamberi pamambo. 20 Panyaya dzese dzavaibvunzwa namambo dzaida uchenjeri nenzwisiso, mambo akaona kuti vaipfuura vapristi vese vaiita zvemashiripiti nen’anga+ dzaiva muumambo hwake hwese zvakapetwa kagumi. 21 Dhanieri akaramba ari ikoko kusvikira mugore rekutanga raMambo Koreshi.+
2 Mugore rechipiri rekutonga kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari ane hope dzaakarota; uye akanetseka chaizvo+ zvekuti akatadza kurara. 2 Saka mambo akaita kuti vapristi vese vaiita zvemashiripiti nen’anga nevanofembera nevaKadheya* vashevedzwe, kuti vamuudze zvaakarota. Vakabva vapinda, vakamira pamberi pamambo.+ 3 Mambo akabva ati kwavari: “Pane hope dzandarota, uye ndiri kunetseka chaizvo nekuti ndiri kutadza kuziva hope dzacho.” 4 VaKadheya vacho vakapindura mambo nemutauro wechiAramaiki,*+ vachiti: “Raramai nekusingaperi imi mambo. Udzai varanda venyu hope dzacho, uye tichadzidudzira.”
5 Mambo akapindura vaKadheya vacho, achiti: “Izvi ndizvo zvandasarudza: Kana mukasandiudza hope dzacho nekududzirwa kwadzo, muchagurwa-gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa zvimbuzi zvevanhu vese.* 6 Asi kana mukataura hope dzacho nekududzirwa kwadzo, ndichakupai zvipo nemubayiro nekukudzwa kukuru.+ Saka ndiudzei hope dzacho nezvadzinoreva.”
7 Vakapindura kechipiri vachiti: “Mambo ngaaudze vashandi vake hope dzacho, uye tichadzidudzira.”
8 Mambo akavapindura kuti: “Ndiri kuzviziva kuti muri kuda kuwana nguva yekuronga mazano, nekuti muri kuziva zvandasarudza. 9 Kana mukasandiudza hope dzacho, mutongo wenyu mese ndiwoyo mumwe chete, hauchinji. Muri kufurirana kundinyepera muchindibata kumeso, muchifunga kuti ndichachinja pfungwa. Ndiudzei hope dzacho, uye ndichaziva kuti munogona kudzidudzira.”
10 VaKadheya vacho vakapindura mambo vachiti: “Panyika hapana munhu anokwanisa kuita zvataurwa namambo, nekuti hapana mambo ane simba kana gavhuna akambokumbira mupristi anoita zvemashiripiti zvinhu zvakadai kana n’anga kana muKadheya. 11 Mambo ari kukumbira zvinhu zvakaoma uye hapana anogona kuudza mambo zvinhu izvozvo kunze kwavanamwari vasingagari nevanhu.”
12 Mambo akabva ashatirwa uye akarayira kuti varume vese vakachenjera veBhabhironi vaurayiwe.+ 13 Murayiro wacho pawakapiwa uye pavakanga vava kuda kuuraya varume vacho vakachenjera, vakabva vatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwe.
14 Panguva iyoyo Dhanieri akataura zvakanaka naArioki achingwarira mashoko ake. Arioki aiva mukuru wevarindi vamambo, uye ndiye akanga aenda kunouraya varume vakachenjera veBhabhironi. 15 Akabvunza Arioki, mushandi wamambo kuti: “Mambo apirei murayiro wakaoma kudai?” Arioki akabva audza Dhanieri nyaya yacho.+ 16 Saka Dhanieri akapinda maiva namambo akamukumbira kuti amupe nguva yekumuudza zvairehwa nehope dzacho.
17 Dhanieri akabva aenda kumba kwake, akaudza shamwari dzake Hananiya, Mishaeri, naAzariya nyaya yacho. 18 Akavaudza kuti vanyengetere kuna Mwari wekudenga vachikumbira kuti avanzwire nyasha ovaudza hope dzacho, kuti iye Dhanieri neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete nevarume vese vakachenjera veBhabhironi.
19 Dhanieri akabva aratidzwa hope dzacho usiku.+ Saka Dhanieri akarumbidza Mwari wekudenga. 20 Dhanieri akati:
“Zita raMwari ngarirumbidzwe nariini nariini,
Nekuti ndiye ega ane uchenjeri nesimba.+
Achibvisa madzimambo nekugadza madzimambo,+
Uye anopa uchenjeri kune vakachenjera neruzivo kune vakangwara.+
23 Ndinokutendai uye ndinokurumbidzai imi Mwari wemadzitateguru angu,
Nekuti makandipa uchenjeri nesimba.
Uye iye zvino maita kuti ndizive zvatakakukumbirai;
Maita kuti tizive nyaya iri kunetsa mambo.”+
24 Dhanieri akabva apinda maiva naArioki, uyo akanga asarudzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi,+ akati kwaari: “Musauraya varume vakachenjera veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo uye ndichamuudza kuti hope dzake dzinorevei.”
25 Arioki akabva angoenda naDhanieri kuna mambo akati kwaari: “Ndawana mumwe murume panhapwa dzechiJudha+ anogona kuudza mambo kuti hope dzake dzinorevei.” 26 Mambo akati kuna Dhanieri, uyo ainziwo Bheteshazari:+ “Une chokwadi here kuti unogona kundiudza hope dzandakarota nezvadzinoreva?”+ 27 Dhanieri akabva ati kuna mambo: “Hapana murume akachenjera, kana n’anga, kana mupristi anoita zvemashiripiti, kana muzivi wenyeredzi anokwanisa kuudza mambo zvinhu zvakavanzika zvaari kuda kuziva.+ 28 Asi kuna Mwari ari kudenga anozivisa zvakavanzika,+ uye aita kuti Mambo Nebhukadhinezari azive zvichaitika mumazuva ekupedzisira. Hope dzenyu nezvamakaratidzwa makarara pamubhedha wenyu ndeizvi:
29 “Imi mambo, pamainge makarara pamubhedha wenyu, makarota zvinhu zvichaitika mune ramangwana, uye Muzivisi wezvakavanzika aita kuti muzive zvichaitika. 30 Kuziviswa kwandaitwa zvinhu izvi hakurevi kuti ndakachenjera kupfuura vanhu vese; asi ndazviziviswa kuti mambo azive kuti hope dzake dzinorevei, kuti muzive zviri mumwoyo menyu.+
31 “Imi mambo makanga makatarisa, uye makaona chifananidzo chakakura kwazvo. Chifananidzo chacho chainge chakamira pamberi penyu, chichipenya kwazvo uye chakanga chakakura, chichityisa kwazvo. 32 Musoro wechifananidzo chacho waiva wegoridhe+ rakanatswa, chipfuva chacho nemaoko acho zvaiva zvesirivha,+ dumbu racho nezvidya zvacho zvaiva zvemhangura,+ 33 makumbo acho aiva esimbi,+ uye tsoka dzacho dzaiti pamwe isimbi uye pamwe ivhu.*+ 34 Makaramba makatarisa kusvikira maona dombo richibviswa pagomo, asi zvisingaitwi nemaoko, rikanorova chifananidzo chacho kutsoka dzacho dzesimbi nevhu, rikadziparadza.+ 35 Panguva iyoyo simbi yacho, nevhu, nemhangura, nesirivha, negoridhe, zvakakuyiwa zvikaita sehundi inobva paburiro* munguva yekupisa, uye zvakatakurwa nemhepo zvekuti hazvina kuzombowanikazve. Asi dombo rainge rarova chifananidzo chacho rakava gomo guru, rikazadza nyika yese.
36 “Idzi ndidzo hope dzamakarota, uye pari zvino tava kuda kuudza mambo zvadzinoreva. 37 Imi mambo wemadzimambo, uyo akapiwa umambo,+ nesimba, neukuru, nekukudzwa naMwari wekudenga, 38 uye akapiwa vanhu vari kwese kwese, nemhuka dzesango neshiri dzedenga, uye akagadzwa kuti azvitonge zvese,+ imi ndimi musoro wegoridhe.+
39 “Asi pashure penyu pachauya humwe umambo+ hwakaderera kwamuri; kwozouya humwe umambo hwechitatu, hwemhangura, huchatonga nyika yese.+
40 “Asi umambo hwechina huchange hwakasimba sesimbi.+ Sezvinoita simbi inoputsa nekuparadza zvinhu zvese, umambo hwacho huchapwanya nekuparadza umambo hwese uhwu.+
41 “Zvamakaona tsoka nezvigunwe zvaiti pamwe ivhu remuumbi uye pamwe pacho isimbi, umambo hwacho huchange husina kubatana, asi huchange huine pamwe pahwakaoma sesimbi, sezvakaita simbi yamakaona yakasangana nevhu. 42 Zvigunwe zvetsoka zvazvaiti apa isimbi uye pamwe pacho ivhu, umambo hwacho huchava nepamwe pakasimba nepamwe pasina kusimba. 43 Zvamakaona simbi yakasangana nevhu remuumbi, zvikamu zveumambo hwacho zvichange zvakasangana nevanhu; asi hazvizobatani, sezvinoita simbi iyo isingabatani nevhu.
44 “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo+ husingazomboparadzwi.+ Umambo hwacho hahuzosiyirwi vamwe vanhu.+ Huchapwanya, hwogumisa umambo hwese uhwu,+ uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.+ 45 Zvichangoita sedombo ramakaona richibviswa pagomo asi zvisingaitwi nemaoko, rikanokuya simbi yacho, nemhangura, nevhu, nesirivha, negoridhe.+ Mwari Mukuru aita kuti mambo azive zvichaitika mune ramangwana.+ Hope dzacho ndedzechokwadi, uye dzichaitika sekududzirwa kwadzaitwa.”
46 Mambo Nebhukadhinezari akabva apfugama pamberi paDhanieri, akadzikisa musoro wake achimuremekedza. Uye akarayira kuti apiwe chipo nerusenzi. 47 Mambo akati kuna Dhanieri: “Chokwadi Mwari wenyu ndiMwari wavanamwari naIshe wemadzimambo neMuzivisi wezvakavanzika, nekuti wagona kuzivisa zvinhu izvi zvakavanzika.”+ 48 Mambo akakwidziridza Dhanieri, akamupa zvipo zvakawanda, akamugadza kuti ave mutongi wedunhu rese reBhabhironi+ uye kuti ave mukuru wemakurukota ehurumende anotungamirira varume vese vakachenjera veBhabhironi. 49 Mambo akagadza Shadreki, Misheki, naAbhedhinego+ kuti vatungamirire dunhu reBhabhironi sezvakanga zvakumbirwa naDhanieri, asi Dhanieri aishandira mumuzinda wamambo.
3 Mambo Nebhukadhinezari akagadzira chifananidzo chegoridhe chakanga chakareba makubhiti 60,* chakafara makubhiti 6.* Akachimisa mubani reDhura mudunhu reBhabhironi. 2 Mambo Nebhukadhinezari akabva aita kuti paunganidzwe machinda, makurukota, magavhuna, vanachipangamazano, vachengeti vepfuma, vatongi, vaongorori vemhosva, nevatungamiriri vese vematunhu acho kuti vauye kuzokumikidza chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.
3 Saka machinda, makurukota, magavhuna, vanachipangamazano, vachengeti vepfuma, vatongi, vaongorori vemhosva, nevatungamiriri vese vematunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari. Vakabva vamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari. 4 Mumiririri wamambo akashevedzera achiti: “Imi vanhu vemarudzi nemitauro yakasiyana-siyana, 5 pamuchanzwa kurira kwehwamanda, nechiridzwa chinoita zvekufuridzwa, nezviridzwa zvakasiyana-siyana zvine tambo, nerudimbwa, nenyere hombe, nezvimwewo zviridzwa, munofanira kuwira pasi, monamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari. 6 Munhu wese asingawiri pasi kuti achinamate achabva angokandwa muchoto chemoto unopisa kwazvo.”+ 7 Saka vanhu vemarudzi nemitauro yakasiyana-siyana pavakanzwa kurira kwehwamanda, nechiridzwa chinoita zvekufuridzwa, nezviridzwa zvakasiyana-siyana zvine tambo, nerudimbwa, nezvimwewo zviridzwa, vakabva vawira pasi vakanamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.
8 Zvino panguva iyoyo vamwe vaKadheya vakaenda kuna mambo vakapomera vaJudha. 9 Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari: “Raramai nekusingaperi imi mambo. 10 Imi mambo makarayira kuti munhu wese anonzwa kurira kwehwamanda, nechiridzwa chinoita zvekufuridzwa, nezviridzwa zvakasiyana-siyana zvine tambo, nerudimbwa, nenyere hombe, nezvimwewo zviridzwa, anofanira kuwira pasi, onamata chifananidzo chegoridhe; 11 uye kuti munhu wese asingawiri pasi kuti achinamate anofanira kukandwa muchoto chemoto unopisa kwazvo.+ 12 Asi pane vamwe vaJudha vamakagadza kuti vatungamirire dunhu reBhabhironi vanoti, Shadreki, Misheki, naAbhedhinego.+ Varume ava havana kukuremekedzai, imi mambo. Havasi kushumira vanamwari venyu, uye vari kuramba kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
13 Nebhukadhinezari akashatirwa uye akabva arayira kuti Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vaunzwe kwaari. Saka varume vacho vakaunzwa kuna mambo. 14 Nebhukadhinezari akati kwavari: “Iwe Shadreki, naMisheki, naAbhedhinego, ndizvo here kuti hamusi kushumira vanamwari vangu,+ uye kuti muri kuramba kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa? 15 Iye zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nechiridzwa chinoita zvekufuridzwa, nezviridzwa zvakasiyana-siyana zvine tambo, nerudimbwa, nenyere hombe, nezvimwewo zviridzwa, kana mukabva mawira pasi monamata chifananidzo chandakagadzira, zvakanaka. Asi kana mukaramba kuchinamata, muchabva mangokandwa muchoto chemoto unopisa kwazvo. Ndimwari upi angakununurai mumaoko angu?”+
16 Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakati kuna mambo: “Mambo Nebhukadhinezari, hatifaniri hedu kukupindurai panyaya iyi. 17 Kana tikakandwa mumoto, Mwari wedu watinonamata ane simba rekutinunura mumoto wacho uye muruoko+ rwenyu imi mambo. 18 Asi kunyange kana akarega kutinunura, imi mambo zivai kuti hatisi kuzoshumira vanamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”+
19 Nebhukadhinezari akabva atsamwira Shadreki, Misheki, naAbhedhinego kwazvo, chiso chake chikachinja,* uye akarayira kuti moto ukuchidzirwe kuti upise zvakapetwa kanomwe kupfuura zvawaisiita. 20 Akaudza vamwe varume vaiva nesimba vemuuto rake kuti vasunge Shadreki, Misheki, naAbhedhinego, vovakanda mumoto.
21 Saka varume vacho vakasungwa vachakamonera machira avo, uye vainge vachakapfeka nguo dzavo, nengowani dzavo nezvimwe zvipfeko zvavo zvese. Vakabva vakandwa muchoto chemoto waipisa kwazvo. 22 Nemhaka yekuti murayiro wamambo wakanga wakaoma chaizvo uye choto chacho chaipisa zvakanyanyisa, varume vakatora Shadreki, Misheki, naAbhedhinego ndivo vakatsva nemarimi emoto wacho, vakafa. 23 Asi Shadreki, Misheki, naAbhedhinego, vari vatatu, vakawira mumoto wacho vakasungwa.
24 Mambo Nebhukadhinezari akatya uye akabva angosimuka akati kuvakuru vakuru vaaishanda navo: “Hatina kusunga varume vatatu tikavakanda mumoto here?” Vakabva vapindura mambo vachiti: “Ndizvozvo mambo.” 25 Iye akati: “Ndiri kuona varume vana vachifamba-famba mumoto vasina kusungwa; havana kutsva, uye wechina wacho ari kuita semwanakomana wavanamwari.”
26 Nebhukadhinezari akabva aenda pasuo rechoto chemoto waipisa kwazvo akati: “Shadreki, Misheki, naAbhedhinego, imi vashumiri vaMwari Wekumusorosoro,+ budai muuye pano!” Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakabva vabuda mumoto. 27 Machinda amambo, nemakurukota, nemagavhuna, nevakuru vakuru avo vainge vakaungana ipapo,+ vakaona kuti moto wacho wakanga usina kana chawaita pamiviri yevarume vacho;+ hapana kana bvudzi remisoro yavo rakanga rabvuraudzwa, machira avakanga vakamonera akanga asina kutsva uye vakanga vasingatombonhuhwi moto.
28 Nebhukadhinezari akabva ati: “Mwari waShadreki, Misheki, naAbhedhinego ngaarumbidzwe,+ uyo atuma ngirozi yake ikanunura vashumiri vake. Vavimba naye uye varamba kuteerera murayiro wamambo; vazvipira kufa pane kushumira kana kunamata mumwe mwari kunze kwaMwari wavo.+ 29 Saka ndadzika murayiro wekuti kana pakava nerudzi kana nyika kana vanhu vemutauro upi zvawo, vanotaura chinhu chakaipa pamusoro paMwari waShadreki, Misheki, naAbhedhinego vagurwe-gurwe, uye kuti dzimba dzavo dziitwe zvimbuzi zvevanhu vese;* nekuti hakuna mumwe mwari anokwanisa kununura saiye.”+
30 Mambo akabva akwidziridza Shadreki, Misheki, naAbhedhinego mudunhu reBhabhironi.+
4 “Mashoko aMambo Nebhukadhinezari kumarudzi ese, nenyika nevanhu vemitauro yese nevanhu vese vari panyika: Rugare rwenyu ngaruwande! 2 Ndinokuzivisai nemufaro zviratidzo nezvishamiso zvandakaitirwa naMwari Wekumusorosoro. 3 Zviratidzo zvake zvikuru kwazvo, uye zvishamiso zvake zvinoratidza kuti ane simba guru kwazvo! Umambo hwake hunogara nekusingaperi, uye ushe hwake hunoramba huripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
4 “Ini, Nebhukadhinezari, ndakanga ndigere zvakanaka mumba mangu, ndichibudirira mumuzinda mangu. 5 Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndakarara pamubhedha wangu, zvandakaona uye zvandakaratidzwa zvakandivhundutsa.+ 6 Saka ndakarayira kuti varume vese vakachenjera veBhabhironi vauye pamberi pangu, kuti vandiudze kuti hope dzacho dzairevei.+
7 “Panguva iyoyo vapristi vaiita zvemashiripiti, nen’anga, nevaKadheya,* nevazivi venyeredzi+ vakapinda mandaiva. Pandakavaudza hope dzacho, vakatadza kundiudza zvadzinoreva.+ 8 Pakazouya Dhanieri, uyo ane mweya wavanamwari vatsvene+ uye ane zita ramwari wangu+ rekuti Bheteshazari,+ ndikamuudza hope dzacho, ndichiti:
9 “‘Iwe Bheteshazari, mukuru wevapristi vanoita zvemashiripiti,+ ndinonyatsoziva kuti une mweya wavanamwari vatsvene+ uye kuti hapana chinhu chakavanzika chinganyanya kukuomera.+ Saka ndiudze zviratidzo zvandakaona muhope dzangu uye zvazvinoreva.
10 “‘Pazviratidzo zvandakaona ndakarara pamubhedha wangu, ndakaona muti+ wakanga wakareba kwazvo+ waiva pakati penyika. 11 Muti wacho wakakura, ukasimba, uye wakareba kusvika kudenga, uchioneka kumigumo yenyika yese. 12 Mashizha awo akanga akanaka, uine michero yakawanda uye zvinhu zvese zvaiwana zvekudya pauri. Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo, shiri dzedenga dzaigara mumapazi awo, uye zvisikwa zvese zvaiwana zvekudya pauri.
13 “‘Pandaiona zviratidzo izvi ndiri pamubhedha wangu, ndakaona murindi, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga.+ 14 Akashevedzera achiti: “Rigai muti,+ muteme mapazi awo, zunzai mashizha awo, muparadzire michero yawo! Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri pamapazi awo. 15 Asi siyai chigutsa chacho chiine midzi yacho muvhu, chakasungwa nesimbi nemhangura, chiri pakati peuswa hwesango. Regai chinyoroveswe nedova rinobva mudenga, uye ngachigare pamwe chete nemhuka dzesango pakati pezvinomera zviri panyika.+ 16 Mwoyo wachiinawo wemunhu ngauchinjwe kuti uve mwoyo wemhuka, uye nguva nomwe+ ngadzipfuure chakadaro.+ 17 Izvi zvarayirwa nevarindi,+ uye chikumbiro chacho chaitwa nevatsvene, kuti vanhu vazive kuti Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwese hwevanhu+ uye kuti anohupa waanoda, uye kuti anogadza pahuri kunyange munhu akaderera kupfuura vese.”
18 “‘Idzi ndidzo hope dzandakaratidzwa, ini Mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshazari, chidzidudzira, nekuti vamwe varume vese vakachenjera vemuumambo hwangu vatadza kundiudza zvadzinoreva.+ Asi iwe unokwanisa, nekuti une mweya wavanamwari vatsvene.’
19 “Panguva iyoyo, Dhanieri, uyo anonzi Bheteshazari,+ akarohwa nehana, akatanga kutya.
“Mambo akati, ‘Bheteshazari, hope dzacho nekududzirwa kwadzo ngazvirege kukutyisa.’
“Bheteshazari akapindura kuti, ‘Ishe wangu, hope dzacho ngadzishande kune vaya vanokuvengai, uye kududzirwa kwadzo kuvavengi venyu.
20 “‘Muti wamakaona uyo wakakura ukasimba, ukareba kusvika kudenga uchionekwa nenyika yese,+ 21 uine mashizha akanaka, nemichero yakawanda, nezvekudya zvezvinhu zvese, mhuka dzesango dzichigara pasi pawo, uye shiri dzedenga dzichigara mumapazi awo,+ 22 imi mambo ndimi muti wacho, nekuti umambo hwenyu hwakakura mukava nesimba, uye ukuru hwenyu hwakawedzera hukasvika kudenga,+ neushe hwenyu kumigumo yenyika.+
23 “‘Mambo akaonawo murindi, iye mutsvene,+ achiburuka kubva kudenga, achiti: “Rigai muti, muuparadze, asi siyai chigutsa chacho chiine midzi yacho muvhu, chakasungwa nesimbi nemhangura, chiri pakati peuswa hwesango. Regai chinyoroveswe nedova redenga, uye ngachigare pamwe chete nemhuka dzesango kusvika nguva nomwe dzapera.”+ 24 Mambo, uku ndiko kududzirwa kwehope dzacho; Wekumusorosoro ndiye asarudza zvichaitika kuna ishe wangu mambo. 25 Muchadzingwa pakati pevanhu, monogara nemhuka dzesango, uye muchadya uswa semombe; uye muchanyoroveswa nedova redenga,+ uye nguva nomwe+ dzichapera muriko,+ kusvikira maziva kuti Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anohupa waanoda.+
26 “‘Asi nemhaka yekuti vakarayira kuti chigutsa chemuti nemidzi yacho+ zvisiyiwe zvakadaro, umambo hwenyu huchadzoka kwamuri pashure pekunge maziva kuti denga ndiro riri kutonga. 27 Saka imi mambo, gamuchirai zano rangu. Siyai zvivi zvenyu muite zvakarurama, uye siyai zvakaipa zvenyu munzwire varombo tsitsi. Zvimwe mungaramba muchibudirira.’”+
28 Zvese izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari.
29 Papera mwedzi 12, mambo aifamba padenga remuzinda weBhabhironi. 30 Mambo aiti: “Iri harisi Bhabhironi Guru randakavaka nesimba rangu neukuru hwangu kuti rive muzinda weumambo uye kuti ndiratidze ukuru hwangu nesimba rangu here?”
31 Mambo achiri kutaura, pane inzwi rakabva kudenga richiti: “Zvanzi kwauri, iwe Mambo Nebhukadhinezari, ‘Watorerwa umambo,+ 32 uye wava kudzingwa pakati pevanhu. Uchagara pamwe chete nemhuka dzesango uye uchadya uswa semombe, uye nguva nomwe dzichapera uriko, kusvikira waziva kuti Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anohupa waanoda.’”+
33 Panguva iyoyo shoko racho rakazadziswa pana Nebhukadhinezari. Akadzingwa pakati pevanhu, uye akatanga kudya uswa semombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova redenga, kusvikira bvudzi rake rareba seminhenga yemakondo uye nzara dzake dzaita sedzeshiri.+
34 “Pakapera nguva yacho,+ ini Nebhukadhinezari ndakatarisa mudenga, pfungwa dzangu dzikatanga kushanda zvakanaka; uye ndakarumbidza Wekumusorosoro. Ndakarumbidza ndikakudza iye anorarama nekusingaperi, nekuti ushe hwake ushe husingagumi uye umambo hwake hunoramba huripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+ 35 Vagari vese vepanyika havasi chinhu kana vachienzaniswa naye, uye anoita zvaanoda pakati peuto rekudenga nepakati pevagari vepanyika. Hapana angamutadzisa kuita zvaanoda+ kana kumuti, ‘Waitei?’+
36 “Panguva iyoyo pfungwa dzangu dzakatanga kushanda zvakanaka uye ndakavazve neumambo hwangu hune mbiri, nemasimba angu nekukudzwa kwangu.+ Makurukota angu nevanhu vangu vanokudzwa vakatanga kuuya kwandiri vachitsvaga mazano, uye ndakadzorerwa paumambo hwangu, ndikatopiwa simba rinopfuura randaiva naro.
37 “Zvino ini, Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nekuremekedza nekukudza Mambo wekudenga,+ nekuti mabasa ake ese anoenderana nechokwadi uye nzira dzake dzakarurama,+ uye anokwanisa kuninipisa vaya vanozvikudza.”+
5 Zvino Mambo Bheshazari+ akaitira makurukota ake ane chiuru mabiko makuru, uye ainwa waini ari pamberi pavo.+ 2 Bheshazari paakanga adhakwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yegoridhe neyesirivha yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kutemberi yaiva muJerusarema,+ kuti mambo nemakurukota ake, nevarongo* vake nemamwe madzimai ake vanwire imomo. 3 Vakabva vauya nemidziyo yegoridhe yakanga yatorwa munzvimbo tsvene yeimba yaMwari yaiva muJerusarema, uye mambo nemakurukota ake, nevarongo vake nemamwe madzimai ake vakanwira imomo. 4 Vakanwa waini, vakarumbidza vanamwari vegoridhe nevesirivha, nevemhangura, nevesimbi, nevematanda, nevematombo.
5 Pakangoerekana pava neminwe yeruoko rwemunhu uye yakatanga kunyora pamadziro akadzururwa emuzinda wamambo pedyo nechigadziko cherambi, uye mambo aiona ruoko rwacho ruchinyora. 6 Chiso chamambo chakabva chachinja, uye akatanga kutya, uye makumbo ake akatanga kudedera,+ mabvi ake achirovana.
7 Mambo akashevedzera kuti vaunganidze n’anga, nevaKadheya* nevazivi venyeredzi.+ Mambo akati kuvarume vakachenjera veBhabhironi: “Munhu achaverenga zvinhu izvi zvakanyorwa, ondiudza zvazvinoreva, achapfekedzwa nguo dzepepuru, nechishongo chegoridhe muhuro make,+ uye achatonga muumambo huno ari wechitatu.”+
8 Varume vese vakachenjera vamambo vakabva vapinda, asi havana kukwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa kana kuudza mambo kuti zvairevei.+ 9 Saka Mambo Bheshazari akatya kwazvo, chiso chake chikachinja; uye makurukota ake akavhiringidzika.+
10 Mambokadzi paakanzwa mashoko amambo neemakurukota ake, akabva apinda muimba yaiitirwa mabiko. Mambokadzi akati: “Raramai nekusingaperi imi mambo. Musatya henyu, uye musanetseka. 11 Pane mumwe murume ari muumambo hwenyu ane mweya wavanamwari vatsvene. Mumazuva ababa venyu, murume wacho akaonekwa kuti ane nzwisiso nenjere neuchenjeri hwakangoita seuchenjeri hwavanamwari.+ Baba venyu Mambo Nebhukadhinezari, vakagadza murume wacho kuti ave mukuru wevapristi vanoita zvemashiripiti, nen’anga, nevaKadheya,* nevazivi venyeredzi.+ Ndizvo zvakaitwa nababa venyu imi mambo. 12 Nekuti Dhanieri, uyo akatumidzwa kuti Bheteshazari+ namambo, aiva nepfungwa dzakapinza, neruzivo nenjere dzekududzira hope, nekududzira zvirahwe, nekujekesa zvinhu zvakaoma kunzwisisa.+ Saka shevedzai Dhanieri, uye achakuudzai kududzirwa kwacho.”
13 Dhanieri akabva aunzwa pamberi pamambo. Mambo akabvunza Dhanieri kuti: “Ndiwe Dhanieri mumwe wenhapwa dzakatorwa nababa vangu mambo kuJudha here?+ 14 Ndanzwa kuti une mweya wavanamwari+ uye kuti une nzwisiso nenjere, neuchenjeri hunoshamisa.+ 15 Varume vakachenjera nen’anga vaunzwa pamberi pangu kuti vaverenge zvinhu izvi zvakanyorwa vondiudza kuti zvinorevei; asi havasi kukwanisa kundiudza kuti mashoko acho anorevei.+ 16 Asi ndanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira+ nekujekesa zvinhu zvakaoma kunzwisisa. Kana ukakwanisa kuverenga zvinhu izvi zvakanyorwa nekundiudza zvazvinoreva, uchapfekedzwa nguo dzepepuru, nechishongo chegoridhe muhuro mako, uye uchatonga muumambo huno uri wechitatu.”+
17 Dhanieri akabva apindura mambo achiti: “Musandipa zvipo zvenyu, zvipei henyu vamwe. Zvisinei, ndichaverengera mambo mashoko acho, uye ndichamuudza zvaanoreva. 18 Kana murimi mambo, Mwari Wekumusorosoro akapa baba venyu Nebhukadhinezari umambo nemasimba nekukudzwa neukuru.+ 19 Nemhaka yeukuru hwaakamupa, vanhu vemarudzi ese nenyika nemitauro vaidedera nekutya pamberi pake.+ Aiuraya chero waanenge ada achisiya chero waada kusiya ari mupenyu uye aikudza kana kuninipisa chero waada.+ 20 Asi paakatanga kuzvikwidziridza achiomesa musoro, zvikaita kuti azvikudze,+ akabva abviswa pachigaro chake cheumambo, uye akatorerwa rukudzo rwake. 21 Akadzingwa pakati pevanhu, mwoyo wake ukaita sewemhuka, uye akagara pamwe chete nemadhongi emusango. Akadya uswa semombe uye muviri wake wakanyoroveswa nedova redenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anogadza waanoda pahuri.+
22 “Asi imi mwanakomana wake Bheshazari hamuna kuzvininipisa, kunyange zvazvo maiziva zvese izvi. 23 Asi makazvikwidziridza pamberi paIshe wekudenga,+ uye marayira kuti vakuunzirei midziyo yeimba yake.+ Imi nemakurukota enyu, nevarongo venyu nemamwe madzimai enyu mabva manwira mairi, mukarumbidza vanamwari vesirivha nevegoridhe, nevemhangura, nevesimbi, nevematanda, nevematombo, ivo vanamwari vasingaoni kana kunzwa uye vasina chavanoziva.+ Asi hamuna kukudza Mwari anokupai mweya wekufema+ uye ane simba pane zvese zvamunoita. 24 Saka atuma ruoko rukanyora mashoko aya.+ 25 Mashoko acho anyorwa ndeaya: MENE, MENE, TEKERI, uye PASINI.
26 “Uku ndiko kududzirwa kwemashoko acho: MENE, Mwari averenga mazuva eumambo hwenyu akahugumisa.+
27 “TEKERI, mayerwa pachikero mukawanikwa makareruka.
28 “PERESI, umambo hwenyu hwapatsanurwa hukapiwa vaMedhiya nevaPezhiya.”+
29 Bheshazari akabva apa murayiro, vachibva vapfekedza Dhanieri nguo dzepepuru, nechishongo chegoridhe muhuro make; uye vakazivisa kuti aizova mutongi wechitatu muumambo hwacho.+
30 Bheshazari mambo wevaKadheya akabva aurayiwa usiku ihwohwo.+ 31 Uye umambo hwacho hwakapiwa Dhariyasi+ muMedhiya; aiva nemakore anenge 62.
6 Dhariyasi akaona kuti zvakanga zvakanaka kuti agadze machinda 120 kuti atungamirire muumambo hwacho hwese.+ 2 Machinda acho aitungamirirwa nemakurukota matatu, uye Dhanieri+ aiva mumwe wamakurukota acho; machinda+ acho aivapa mashoko kuti pasava neanokanganisa zvido zvamambo. 3 Zvino Dhanieri airatidza kuti akasiyana nemamwe makurukota nemachinda nekuti aiva nepfungwa dzakapinza+ zvekuti mambo aida kumupa chinzvimbo chepamusoro muumambo hwacho hwese.
4 Panguva iyoyo makurukota acho nemachinda acho vaigara vachitsvaga pekubatira Dhanieri panyaya dzine chekuita neumambo hwacho, asi vaishaya chekumupomera kana chimwe chinhu chakaipa chaaiita, nekuti akanga akavimbika uye aiita basa rake nemazvo, asingaiti zveuori. 5 Varume vacho vakabva vati: “Hatisi kuzombowana chatingapomera Dhanieri, kunze kwekunge tatomutsvagira mhosva tichishandisa mutemo waMwari wake.”+
6 Saka makurukota acho nemachinda vakapinda maiva namambo vari boka, vakati kwaari: “Imi Mambo Dhariyasi, raramai nekusingaperi. 7 Vakuru vese vemuumambo, nemakurukota, nemachinda, navanachipangamazano, nemagavhuna, vese zvavo, varangana kuti padzikwe murau wamambo wekuti, kwemazuva 30, munhu wese anoteterera kune mumwe mwari kana mumwe munhu kunze kwenyu, imi mambo, anofanira kukandwa mugomba reshumba,+ uye vachaona kuti murau wacho watevedzerwa. 8 Zvino imi mambo, dzikai murau wacho muusaine,+ kuti urege kuchinjwa, maererano nemutemo wevaMedhiya nevaPezhiya usingagoni kuchinjwa.”+
9 Saka Mambo Dhariyasi akasaina murau wezvairambidzwa zvacho.
10 Asi Dhanieri paakangoziva kuti murau wacho wakanga wasainwa, akaenda kuimba yake, iyo yaiva neimba yepadenga yaiva nemahwindo akavhurika akatarisa kuJerusarema.+ Katatu pazuva, aipfugama achinyengetera, achirumbidza Mwari wake, sezvaakanga agara achiita izvi zvisati zvaitika. 11 Panguva iyoyo varume vacho vakangoerekana vapinda, vakawana Dhanieri achiteterera nekukumbira kunzwirwa nyasha pamberi paMwari wake.
12 Saka vakaenda kuna mambo vakamuyeuchidza nezvemurau waakanga adzika vachiti: “Hamuna here kusaina murau wekuti kwemazuva 30, munhu wese anoteterera kune mumwe mwari kana mumwe munhu kunze kwenyu imi mambo, anofanira kukandwa mugomba reshumba?” Mambo akapindura kuti: “Nyaya yacho yakanyatsosimbiswa maererano nemutemo wevaMedhiya nevaPezhiya usingagoni kuchinjwa.”+ 13 Vakabva vati kuna mambo: “Dhanieri, mumwe wenhapwa dzakabva kuJudha,+ haasi kukuremekedzai imi mambo, uyewo haasi kuteerera murau wamakasaina, asi ari kunyengetera katatu pazuva.”+ 14 Mambo paakangonzwa mashoko aya, akanetseka chaizvo uye akafunga kuti onunura sei Dhanieri; uye zuva rakatosvika pakunyura achiedza zvese zvaaigona kuti amununure. 15 Varume vacho vakazopinda maiva namambo vari boka, vakati kwaari: “Mambo, yeukai kuti mutemo wevaMedhiya nevaPezhiya ndewekuti kana mambo akarambidza chimwe chinhu kana kuti akadzika murau, hapana chinofanira kuchinjwa.”+
16 Saka mambo akapa murayiro, vachibva vauya naDhanieri vakamukanda mugomba reshumba.+ Mambo akati kuna Dhanieri: “Mwari wako wauri kushumira nguva dzese, achakununura.” 17 Pakabva patorwa dombo rikaiswa pamuromo wegomba racho, mambo achibva aridhinda nerin’i yake ine chidhindo* uye nerin’i ine chidhindo yemakurukota ake, kuti parege kuva nechinochinjwa pamusoro paDhanieri.
18 Mambo akabva aenda kumuzinda wake. Akatsanya usiku hwese uye akaramba kuva nezvinomuvaraidza.* Hope dzake dzakaramba kuuya. 19 Ava mambakwedza, mambo akasimuka achibva angoenda kugomba reshumba. 20 Ava kusvika pagomba racho, akashevedzera kuna Dhanieri akasuruvara. Mambo akati kwaari: “Dhanieri, mushumiri waMwari mupenyu, Mwari wako waunoshumira nguva dzese akwanisa kukununura pashumba here?” 21 Dhanieri akabva ati kuna mambo: “Raramai nekusingaperi mambo. 22 Mwari wangu atuma ngirozi yake ikavhara miromo yeshumba,+ uye hadzina zvadzandiita,+ nekuti ndawanikwa ndisina mhosva pamberi pake; uyewo hapana chandakakutadzirai imi mambo.”
23 Mambo akafara kwazvo, uye akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba racho. Dhanieri akabudiswa mugomba racho asina kana kumbokuvara, nekuti akanga avimba naMwari wake.+
24 Mambo akabva apa murayiro, uye varume vaya vakanga vapomera Dhanieri vakaunzwa vachibva vakandwa mugomba reshumba ivo nevanakomana vavo nemadzimai avo. Shumba dzacho dzakavagamha vasati vasvika pasi, dzikapwanya-pwanya mapfupa avo ese.+
25 Mambo Dhariyasi akabva anyorera marudzi ese, nenyika nevanhu vemitauro yakasiyana-siyana pasi rese+ achiti: “Rugare rwenyu ngaruwande! 26 Ndadzika murayiro wekuti, muumambo hwangu hwese, vanhu vanofanira kudedera nekutya pamberi paMwari waDhanieri.+ Nekuti ndiye Mwari mupenyu, uye haana magumo. Umambo hwake hahuzomboparadzwi, uye utongi hwake hahugumi.+ 27 Anonunura+ nekuponesa uye anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga nepanyika,+ nekuti akanunura Dhanieri pamiromo yeshumba.”
28 Saka Dhanieri akabudirira muumambo hwaDhariyasi+ nemuumambo hwaKoreshi muPezhiya.+
7 Mugore rekutanga raMambo Bheshazari+ weBhabhironi, Dhanieri akarota hope uye akaona zviratidzo akarara pamubhedha wake.+ Akabva anyora hope dzacho,+ achirondedzera zvinhu zvacho zvese. 2 Dhanieri akati:
“Pazvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndakaona mhepo ina dzekudenga dzichinyandura gungwa guru.+ 3 Mhuka huru ina+ dzakabva dzabuda mugungwa racho, uye dzese dzakanga dzakasiyana.
4 “Yekutanga yakanga yakaita seshumba,+ uye yaiva nemapapiro egondo.+ Ndakaramba ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo adzurwa, ikasimudzwa panyika, ikamiswa nemakumbo maviri semunhu, ikapiwa mwoyo wemunhu.
5 “Uye ndakaona imwe mhuka yechipiri yakanga yakaita sebheya.+ Yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu; uye yakaudzwa kuti, ‘Simuka, udye nyama zhinji.’+
6 “Pashure pacho, ndakaramba ndakatarisa ndikaona imwe mhuka yakanga yakaita sembada,+ asi yakanga iine mapapiro mana pamusana akaita seeshiri. Mhuka yacho yaiva nemisoro mina,+ uye yakapiwa simba rekutonga.
7 “Pashure pacho, ndakaramba ndakatarisa zvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina. Mhuka yacho yaityisa uye yaivhundutsa uye yakanga yakasimba kwazvo, iine mazino mahombe esimbi. Yaiparadza, ichipwanya-pwanya, uye yakatsika-tsika zvakanga zvasara.+ Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzese dzakanga dzaitangira, uye yaiva nenyanga gumi. 8 Pandaifunga nezvenyanga dzacho, pakabva pabuda imwe nyanga diki pakati padzo,+ uye dzimwe nyanga nhatu dzekutanga dzakadzurwa pamberi payo. Nyanga yacho yaiva nemaziso akaita seemunhu, uye yaiva nemuromo waitaura uchizvikudza.+
9 “Ndakaramba ndakatarisa kusvikira zvigaro zveumambo zvaiswa, Wemazuva Mazhinji+ achibva agara.+ Zvipfeko zvake zvakanga zvakachena sechando,+ uye bvudzi remusoro wake rakanga rakaita semvere dzemakwai dzakachena. Chigaro chake cheumambo chaiva marimi emoto; mavhiri acho aiva moto unobvira.+ 10 Paiva nerukova rwemoto rwaiyerera ruchibva pamberi pake.+ Vane chiuru chakapetwa kane chiuru, vairamba vachimushumira, uye vane zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi vakanga vakamira pamberi pake.+ Dare+ rakatanga kutonga, mabhuku akavhurwa.
11 “Panguva iyoyo, mashoko ekuzvikudza+ andainzwa achitaurwa nenyanga yacho akaita kuti ndirambe ndakatarisa. Ndakaramba ndakatarisa kusvikira mhuka yacho yaurayiwa, muviri wayo ukapiswa nemoto, ukaparadzwa. 12 Asi dzimwe mhuka dzese+ dzakatorerwa ushe hwadzo, uye upenyu hwadzo hwakawedzerwa nenguva imwe chete nemwaka.
13 “Ndakaramba ndakatarisa zvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe munhu akafanana nemwanakomana wemunhu+ achiuya aine makore ekudenga; akasvika kune Wemazuva Mazhinji,+ uye vakamuswededza pamberi pake. 14 Akapiwa ushe+ nekukudzwa,+ neumambo, kuti vanhu vemarudzi ese, nenyika, nemitauro yakasiyana-siyana vamushumire.+ Ushe hwake ushe hunogara nekusingaperi, husingazobviswi, uye umambo hwake hahuzoparadzwi.+
15 “Zvino ini Dhanieri, ndakanetseka chaizvo nekuti zvandakaratidzwa zvakandityisa.+ 16 Ndakaenda pedyo nemumwe wevakanga vakamira ipapo, kuti ndimubvunze kuti zvinhu izvi zvairevei. Akabva apindura, akandiudza kuti zvinhu izvi zvairevei.
17 “‘Mhuka huru idzi ina,+ dzinomiririra madzimambo mana achamuka panyika.+ 18 Asi vatsvene vaIye Mukurusa+ vachagamuchira umambo,+ uye umambo hwacho huchava hwavo+ nekusingaperi, huchava hwavo nariini nariini.’
19 “Ndakabva ndada kuziva nezvemhuka yechina, iyo yakanga yakasiyana nedzimwe dzese. Yaityisa kwazvo, iine mazino esimbi nenzara dzemhangura uye yaiparadza, ichipwanya-pwanya, uye ichitsika-tsika zvakanga zvasara.+ 20 Ndakadawo kuziva nezvenyanga gumi+ dzaiva mumusoro mayo, neimwe nyanga yakabuda ikaita kuti nyanga nhatu dziwire pasi,+ nyanga yaiva nemaziso nemuromo waitaura uchizvikudza, iyo yainge yakakura kupfuura dzimwe.
21 “Ndakaramba ndakatarisa nyanga iyoyo payairwa nevatsvene, ichivakunda,+ 22 kusvikira Wemazuva Mazhinji+ asvika, akapa mutongo waitsigira vatsvene vaIye Mukurusa,+ uye nguva yakasarudzwa yekuti vatsvene vapiwe umambo yakasvika.+
23 “Iye akati: ‘Kana iri mhuka yechina, kune umambo hwechina huchavapo panyika. Huchange hwakasiyana nehumwe umambo hwese, uye huchaparadza nyika yese uye huchaitsika-tsika hwoipwanya-pwanya.+ 24 Kana dziri nyanga gumi, pachava nemadzimambo gumi achabuda muumambo ihwohwo; uye pachavazve nemumwe pashure pawo, uyo achange akasiyana neekutanga, uye achaninipisa madzimambo matatu.+ 25 Achataura mashoko ekushora Wekumusorosoro,+ uye acharamba achinetsa vatsvene vaIye Mukurusa. Achafunga nezvekuchinja nguva nemutemo, uye vachaiswa muruoko rwake kwenguva imwe chete, nedzimwe nguva, nehafu yenguva.*+ 26 Asi Dare rakatanga kutonga, vachibva vamutorera ushe hwake, kuti vamuparadze uye vamutsakatise.+
27 “‘Zvino umambo neushe neukuru hweumambo hwaiva pasi pematenga ese zvakapiwa vatsvene vaIye Mukurusa.+ Umambo hwavo umambo hunogara nekusingaperi,+ uye humwe ushe hwese huchava pasi pavo huchivateerera.’
28 “Pano ndipo panogumira nyaya yacho. Asi ini Dhanieri, ndakanetseka chaizvo nezvaiva mupfungwa dzangu, zvekuti chiso changu chakachinja; asi ndakachengeta nyaya yacho mumwoyo mangu.”
8 Mugore rechitatu rekutonga kwaMambo Bheshazari,+ ini Dhanieri, ndine zvandakaratidzwa, pashure pezviya zvandakanga ndamboratidzwa.+ 2 Ndakaona chiratidzo chacho, uye pandakanga ndakatarisa, ndaiva munhare* yeShushani,*+ iri mudunhu reEramu;+ ndakaona chiratidzo chacho, uye ndaiva pedyo nerwizi rwaUrai. 3 Pandakatarisa, ndakaona gondohwe*+ rakanga rakamira pedyo nerwizi rwacho, uye raiva nenyanga mbiri.+ Nyanga dzacho mbiri dzakanga dziri refu, asi imwe yacho yakanga yakareba kupfuura imwe, uye refu yacho ndiyo yakapedzisira kubuda.+ 4 Ndakaona gondohwe racho richitunga kumavirira nekuchamhembe nekumaodzanyemba, uye hapana mhuka yaimira pamberi paro, uye hapana aigona kununura vamwe pasimba raro.+ Raiita chero zvarada uye rakazvikwidziridza.
5 Pandakaramba ndakatarisa, ndakaona nhongo+ yakanga ichiuya ichibva kumavirira ichifamba panyika pese isingatsiki pasi. Pakati pemaziso embudzi yacho paiva nenyanga yainyatsooneka.+ 6 Yakanga ichiuya kugondohwe raiva nenyanga mbiri, randakanga ndaona rakamira pedyo nerwizi; yaimhanyira kwariri yakashatirwa kwazvo.
7 Ndakaiona ichienda pedyo negondohwe racho, uye yakanga yakaritsamwira chaizvo. Yakatunga gondohwe racho, ikatyora nyanga dzaro mbiri, uye gondohwe racho rakashaya simba rekuirwisa. Yakadonhedzera gondohwe racho pasi, ikaritsika-tsika, uye rakashaya anorinunura pasimba rayo.
8 Nhongo yacho yakabva yazvikwidziridza kwazvo, asi payakangova nesimba, nyanga yayo huru yakatyoka; uye panzvimbo payo pakabva pabuda nyanga ina dzainyatsooneka, idzo dzainge dzakatarisa kumhepo ina dzekudenga.+
9 Pakabuda imwe nyanga diki ichibva pane imwe yenyanga dzacho, ikakura kwazvo ichienda kumaodzanyemba nekumabvazuva nekunyika Inoshongedza.*+ 10 Yakaramba ichikura ikasvika kuuto rekudenga, ikaita kuti rimwe uto racho nedzimwe nyeredzi zviwire pasi, ikazvitsika-tsika. 11 Yakatozvikwidziridza pamberi peMuchinda weuto. Muchinda wacho akatorerwa chibayiro chinogara chichipiwa, uye nzvimbo yake tsvene isingachinji yakaputswa.+ 12 Uto nechibayiro chinogara chichipiwa zvakaiswa mumaoko ayo nemhaka yekutadza; uye yakaramba ichikanda chokwadi pasi, ikaita zvayaida, ikabudirira.
13 Zvino ndakanzwa mumwe mutsvene achitaura, uye mumwe mutsvene akati kune uya akanga achitaura: “Chiratidzo chechibayiro chinogara chichipiwa nechekutadza kunokonzera kuparadzwa chicharamba chiripo kusvikira riini,+ nzvimbo tsvene neuto zvichingotsikwa-tsikwa?” 14 Akabva ati kwandiri: “Kusvikira papera manheru nemangwanani 2 300.* Nzvimbo tsvene ichabva yanaka sezvayakanga iri pakutanga.”
15 Zvino ini Dhanieri pandakanga ndichiona chiratidzo chacho uye ndichitsvaga kuchinzwisisa, pane wandakabva ndangoona akamira pamberi pangu, aiita semunhu. 16 Ndakabva ndanzwa inzwi remunhu aiva pakati perwizi rwaUrai,+ uye akashevedzera achiti: “Gabrieri,+ ita kuti munhu uyo anzwisise zvaaona.”+ 17 Saka akauya pedyo nepandakanga ndakamira, asi paakasvika ndakatya zvekuti ndakapfugama ndikadzikisa musoro wangu. Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ziva kuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yekuguma.”+ 18 Asi paaitaura neni, ndakabatwa nehope chiso changu chakatarisa pasi. Saka akandibata, akaita kuti ndimire pandainge ndakambomira.+ 19 Akabva ati kwandiri: “Ndava kukuzivisa zvichaitika pachange pava kunoguma nguva yekutsamwa, nekuti zvinhu izvi ndezvenguva yakasarudzwa yekuguma.+
20 “Gondohwe rine nyanga mbiri rawaona rinomiririra madzimambo eMedhiya nePezhiya.+ 21 Nhongo ine mvere inomiririra mambo weGirisi;+ uye nyanga huru yaiva pakati pemaziso ayo inomiririra mambo wekutanga.+ 22 Kana iri nyanga yakatyoka, panzvimbo payo pachibva pabuda dzimwe ina,+ muumambo hwake muchabuda umambo huna, asi husina simba rakaita serake.
23 “Umambo hwavo pahunenge hwava kunoguma, vatadzi pavanenge vanyanyisa kutadza, pachamuka mambo anotyisa kutarisa, anonzwisisa mashoko akaoma.* 24 Achasvika pakuva nesimba guru, asi zvisingaitwi nesimba rake. Achaparadza nenzira inoshamisa,* uye achabudirira pane zvese zvaanoita. Achaparadza vane simba, nevanhu vatsvene.+ 25 Zvaaine manomano, achanyengera vanhu kuti abudirire; achazvitutumadza mumwoyo make, uye vanhu pavanenge vagere zvakanaka iye achaparadza vakawanda.* Achatosimuka kuti arwise Muchinda wemachinda, asi achaparadzwa zvisingaitwi neruoko rwemunhu.
26 “Zvakataurwa muchiratidzo nezvemanheru nemangwanani ndezvechokwadi, asi unofanira kuchengeta chiratidzo chacho chakavanzika, nekuti chiri kutaura nezvenguva ichasvika papera mazuva mazhinji kubva iye zvino.”*+
27 Asi ini, Dhanieri, ndakarukutika uye ndakaita mazuva ndichirwara.+ Ndakazomuka, ndikaita basa ramambo;+ asi ndakanga ndavhundutswa nechiratidzo chandakanga ndaona, uye hapana kana aichinzwisisa.+
9 Mugore rekutanga raDhariyasi+ mwanakomana waAhashivheroshi, iye muMedhiya akanga agadzwa kuva mambo muumambo hwevaKadheya,+ 2 gore raakatanga kutonga, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva mumabhuku* kuwanda kwemakore aizopera Jerusarema riri dongo,+ akataurwa mushoko raJehovha kumuprofita Jeremiya. Aiva makore 70.+ 3 Saka ndakatarisa kuna Jehovha Mwari wechokwadi, ndichimuteterera mumunyengetero, ndichitsanya+ ndakapfeka masaga, ndiine madota. 4 Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura, ndikati:
“Haiwa Jehovha Mwari wechokwadi, Mwari mukuru neanoshamisa, anochengeta sungano yake uye anoratidza rudo rusingachinji+ kune vaya vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake,+ 5 takatadza uye takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa uye takapanduka;+ takatsauka pamirayiro yenyu nemitongo yenyu. 6 Hatina kuteerera vashumiri venyu, ivo vaprofita,+ avo vakataura muzita renyu kumadzimambo edu, nemachinda edu, nemadzibaba edu, nevanhu vese vemunyika yedu. 7 Imi Jehovha makarurama, asi isu tinongogara tichinyara sezvatiri kuita nhasi, isu nevarume veJudha, nevagari vemuJerusarema, nevaIsraeri vese, vaya vari pedyo nevaya vari kure, vari munyika dzese dzamakavaparadzira kwadziri nemhaka yekusatendeka kwavo.+
8 “Jehovha, tiri kunyara nekuti takakutadzirai, isu nemadzimambo edu, nemachinda edu, nemadzitateguru edu. 9 Jehovha Mwari wedu ndiMwari ane tsitsi uye anokanganwira,+ asi isu takamupandukira.+ 10 Hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu nekutevera mitemo yake yaakaisa pamberi pedu achishandisa vashumiri vake, ivo vaprofita.+ 11 VaIsraeri vese vakatyora Mutemo wenyu, uye vakatsauka vachirega kuteerera inzwi renyu, imi mukabva madurura patiri kutukwa kwakataurwa uye kwakanyorwa muMutemo waMozisi mushumiri waMwari wechokwadi,+ nekuti takakutadzirai. 12 Iye azadzisa mashoko ake aakataura pamusoro pedu+ nevatungamiriri vedu vaititonga, nekuunza kwaaita dambudziko guru patiri; zvakaitirwa Jerusarema+ hazvina kumbobvira zvaitika pasi pedenga. 13 Dambudziko rese iri rauya patiri+ sezvakanyorwa muMutemo waMozisi, asi hatina kutsvaga kunzwirwa nyasha naJehovha Mwari wedu kuburikidza nekusiya zvakaipa zvedu+ uye kunzwisisa kuti munozadzisa shoko renyu.*
14 “Saka Jehovha akaramba akatarisa uye akaunza dambudziko patiri, nekuti Jehovha Mwari wedu akarurama pane zvese zvaaita; asi isu hatina kuteerera inzwi rake.+
15 “Takatadza uye takaita zvakaipa kwamuri Jehovha Mwari wedu, imi Mwari akabudisa vanhu vake munyika yeIjipiti neruoko rune simba,+ mukaita mbiri ichiripo nanhasi.+ 16 Jehovha, magara muchiita zvakarurama+ saka tinokumbirawo kuti mubvise hasha nekutsamwa kwenyu paguta renyu Jerusarema, iro gomo renyu dzvene; nekuti Jerusarema nesu vanhu venyu tiri kushorwa nevese vakatipoteredza+ nemhaka yezvivi zvedu uye nemhaka yekukanganisa kwemadzitateguru edu. 17 Zvino Mwari wedu, inzwai munyengetero wemushumiri wenyu nekuteterera kwake, munzwire nyasha nzvimbo yenyu tsvene+ yakaparadzwa,+ muchiitira zita renyu, imi Jehovha. 18 Haiwa Mwari wangu, rerekai nzeve yenyu munzwe! Svinurai muone kutambudzika kwedu nekuparadzwa kwakaitwa guta raishevedzwa nezita renyu; nekuti chiri kuita kuti tikutetererei haasi mabasa edu akarurama, asi itsitsi dzenyu huru.+ 19 Haiwa Jehovha, inzwai. Haiwa Jehovha, kanganwirai.+ Haiwa Jehovha, teererai muone zvekuita! Mwari wangu, fungai nezvezita renyu morega kunonoka, nekuti zita renyu riri pavanhu venyu nepaguta renyu.”+
20 Pandakanga ndichiri kutaura ndichinyengetera nekureurura chivi changu nechivi chevanhu vekwangu vaIsraeri uye ndichikumbira Jehovha Mwari wangu kuti anzwire nyasha gomo dzvene raMwari wangu,+ 21 pandakanga ndichiri kutotaura ndichinyengetera, murume anonzi Gabrieri,+ wandakanga ndamboona muchiratidzo,+ akauya kwandiri ndakaparara nekuneta, panenge panguva yemupiro wemanheru. 22 Akaita kuti ndinzwisise, achiti:
“Dhanieri, iye zvino ndauya kuzoita kuti uve nenjere nenzwisiso. 23 Pawatanga kuteterera, pabva pataurwa shoko, uye ini ndauya kuzokuudza nezvaro, nekuti uri munhu anokosha* chaizvo.+ Saka funga nezvenyaya yacho, unzwisise chiratidzo chacho.
24 “Pane mavhiki* 70 akasarudzirwa vanhu vako neguta rako dzvene,+ kuti kutadza kugumiswe, kuti chivi chipedzwe,+ kuti kukanganisa kuregererwe,+ kuti pave nekururama nekusingaperi,+ kuti chiratidzo neuprofita zviiswe chidhindo,*+ uye kuti Nzvimbo Tsvenetsvene izodzwe. 25 Ziva, unzwisise kuti kubvira pachataurwa shoko rekuti Jerusarema ridzorerwe+ uye rivakwezve kusvikira pachauya Mesiya*+ iye Mutungamiriri,+ pachava nemavhiki 7, uye mavhiki 62.+ Richadzokera pane zvarakanga rakaita uye richavakwazve, riine musika nemugero wemvura, asi muri munguva dzekutambudzika.
26 “Kana mavhiki acho 62 apera, Mesiya achaurayiwa,+ osara asina chaainacho.+
“Uye vanhu vemutungamiriri achauya vachaparadza guta nenzvimbo tsvene.+ Mugumo wacho uchauya kunge mafashamo. Pachange paine hondo kusvikira pakuguma; Mwari asarudza kuti pave nekuparadzwa.+
27 “Iye achaita kuti sungano irambe ichishanda kwevhiki imwe chete achiitira vazhinji; uye pakati pevhiki yacho, achaita kuti chibayiro nemupiro zvichirega kupiwa.+
“Uye pabapiro rezvinhu zvinonyangadza pachange paine anoparadza zvinhu zvese;+ uye zvinhu zvakasarudzwa zvichadururwawo pana iye akaitwa dongo kusvikira pava nekuparadzwa.”
10 Mugore rechitatu raMambo Koreshi+ wePezhiya pane zvinhu zvakaratidzwa Dhanieri, uyo aishevedzwa kuti Bheteshazari.+ Mashoko acho aiva echokwadi, uye akanga ari ekurwisana kukuru. Akanzwisisa mashoko acho, uye akabatsirwa kunzwisisa zvinhu zvaakanga aona.
2 Mazuva iwayo, ini Dhanieri ndakanga ndava nemavhiki matatu azere ndichichema.+ 3 Handina kudya zvekudya zvakanaka, uye hapana nyama kana waini yakapinda mukanwa mangu, uye handina kuzora mafuta kwemavhiki matatu azere. 4 Pazuva rechi24 remwedzi wekutanga, pandaiva pamahombekombe erwizi rukuru runonzi Tigirisi,*+ 5 ndakatarisa ndikaona mumwe murume akanga akapfeka nguo yejira,+ akasunga bhandi regoridhe rekuUfazi muchiuno. 6 Muviri wake wakanga wakaita sedombo rekrisoriti,+ uye chiso chake chakanga chakaita semheni, maziso ake akanga akaita semwenje iri kubvira, maoko ake netsoka dzake zvaiita semhangura yakapenyeswa,+ uye inzwi rake raiita semanzwi evanhu vazhinji. 7 Ini Dhanieri ndini chete ndakaona chiratidzo chacho; varume vandaiva navo havana kuchiona.+ Zvisinei, vakatya kwazvo, vakatiza vakanohwanda.
8 Ndakabva ndasara ndiri ndega, uye pandakaona chiratidzo ichi chikuru, ndakapera simba, chiso changu chikachinja, uye ndakasara ndati rukutu.+ 9 Ndakatanga kunzwa achitaura; asi pandakanzwa achitaura, ndakabatwa nehope huru, chiso changu chakatarisa pasi.+ 10 Asi pane ruoko rwakabva rwandibata,+ rukandizunguza kuti ndimuke. Ndakabva ndapfugama ndakabatirira pasi. 11 Akabva ati kwandiri:
“Dhanieri, iwe murume anokosha* chaizvo,+ teerera mashoko andava kuda kukuudza. Saka simuka, nekuti ndatumwa kwauri.”
Paakataura izvozvo, ndakasimuka ndichidedera.
12 Akabva ati kwandiri: “Usatya hako+ Dhanieri. Mashoko ako akanzwiwa kubvira pazuva rekutanga rawakazvipira kuti unzwisise uye kuti uzvininipise pamberi paMwari wako, uye mashoko ako ndiwo aita kuti ndiuye.+ 13 Asi muchinda+ weumambo hwePezhiya akandirwisa kwemazuva 21. Zvisinei, Mikaeri,*+ mumwe wemachinda makuru,* akauya kuzondibatsira; uye ndakaramba ndiri ikoko nemadzimambo ePezhiya. 14 Ndauya kuzoita kuti unzwisise zvichaitika kuvanhu vekwako mumazuva ekupedzisira,+ nekuti chiratidzo chacho ndechemazuva ari mberi.”+
15 Paakandiudza mashoko iwayo, ndakatarisa pasi ndikatadza kutaura. 16 Mumwe akanga akaita semunhu akabva abata muromo wangu,+ ndikashama muromo wangu ndikati kune uya akanga amire pamberi pangu: “Ishe wangu, chiratidzo chandaona chiri kundidederesa, uye handina simba.+ 17 Saka ini muranda wenyu ndingataura sei nemi ishe wangu?+ Nekuti iye zvino handina simba uye handisisina mweya wekufema.”+
18 Uya akanga akaita semunhu akandibatazve, akandisimbisa.+ 19 Akabva ati: “Usatya+ iwe murume anokosha* chaizvo.+ Iva nerugare.+ Iva nesimba; simba.” Paaitaura neni ndakava nesimba ndichibva ndati: “Taurai ishe wangu, nekuti mandisimbisa.”
20 Akabva ati: “Unoziva here kuti ndauyirei kwauri? Iye zvino ndichadzokera kunorwa nemuchinda wePezhiya.+ Pandichaenda, muchinda wekuGirisi achauyawo. 21 Zvisinei, ndichakuudza zvinhu zviri muzvinyorwa zvechokwadi. Hapana mumwe anonditsigira zvakasimba pazvinhu izvi kunze kwaMikaeri,+ muchinda wenyu.+
11 “Mugore rekutanga raDhariyasi+ muMedhiya, ini ndakasimuka kuti ndimusimbise uye ndimudzivirire.* 2 Zvandava kukuudza ndezvechokwadi:
“Inzwa! MuPezhiya muchamuka mamwe madzimambo matatu, uye wechina achaunganidza pfuma zhinji kupfuura mamwe ese. Pfuma yake paichaita kuti ave nesimba, achaita kuti vanhu vese varwe neumambo hweGirisi.+
3 “Uye pachamuka mambo ane simba guru, otonga nharaunda huru+ uye achaita zvaanoda. 4 Asi paachange ava nesimba guru, umambo hwake huchaparara, hwokamurwa huchiendeswa kumativi mana,*+ asi kwete kuvazukuru vake, uye huchange husina simba rakaita seraaiva naro; nekuti umambo hwake huchadzurwa, hwopiwa vamwe.
5 “Uye mambo wekumaodzanyemba achava nesimba, kureva mumwe wemachinda ake; asi mumwe achamukunda, otonga nesimba guru kupfuura rake.
6 “Papera makore, vachabatana, uye mwanasikana wamambo wekumaodzanyemba achaenda kuna mambo wekuchamhembe kuti vaite chibvumirano. Asi mwanasikana wacho haazorambi achiwana simba raaimbowana;* uye mambo wacho haazomiri uye haazorambi aine simba rake; uye mwanasikana wacho nevamwe vakauya naye, nababa vake, neuya aimupa simba panguva yacho, vachaiswa mumaoko evamwe vanhu. 7 Panhungirwa yepamidzi yemwanasikana iyeye pachava nemumwe achatora chinzvimbo chake.* Achauya kune uto, uye achauya kuzorwisa nhare yamambo wekuchamhembe; achavarwisa okunda. 8 Achatorawo vanamwari vavo, nemifananidzo yavo yesimbi,* nezvinhu zvavo zvakanaka* zvesirivha nezvegoridhe, pamwe chete nenhapwa, oenda nazvo kuIjipiti. Acharega mambo wekuchamhembe kwemakore, 9 uyo achauya kuzorwisa umambo hwamambo wekumaodzanyemba, odzokera kunyika yake.
10 “Kana vari vanakomana vake,* vachagadzirira hondo, vounganidza uto guru kwazvo. Achatouya, opfuura achikukura semafashamo. Asi achadzokera, uye achaenda achirwa kusvikira asvika kunhare yake.
11 “Mambo wekumaodzanyemba achatsamwa oenda kunorwa naye, iye mambo wekuchamhembe; uye achaunganidza boka guru revanhu, asi boka racho revanhu richaiswa muruoko rwake.* 12 Boka racho revanhu richaendwa naro. Mwoyo wake uchazvikwidziridza, uye achaita kuti makumi ezviuru afe; asi haazoshandisi mukana wekukunda kwaanenge aita.
13 “Mambo wekuchamhembe achadzokera, ounganidza boka guru revanhu rinopfuura rekutanga; uye pakuguma kwenguva yacho, papera makore, achatouya neuto guru nezvinhu zvizhinji kwazvo. 14 Vazhinji vachasimuka panguva iyoyo kuti varwise mambo wekumaodzanyemba.
“Vamwe vanhu vekwako avo vanoita mhirizhonga vachafurirwa kuti vaedze kuita kuti chiratidzo chizadziswe asi havazobudiriri.
15 “Mambo wekuchamhembe achauya, ounganidza murwi wekukomba nawo, otora guta rakakomberedzwa nemasvingo. Asi zvombo zvekumaodzanyemba hazvizokundi,* kunyange shasha dzake dzehondo hadzizokundi; uye havazovi nesimba rekurwisa. 16 Uya achauya kuzorwisana naye* achaita zvaanoda, uye hapana achamirisana naye. Achamira munyika Inoshongedza,*+ uye achange aine simba rekuparadza. 17 Achazvipira kuti auye nesimba reumambo hwake rese zvaro, uye achaita chibvumirano naye; uye achaita zviri mumwoyo make. Iye achabvumirwa kuparadza mwanasikana wevakadzi. Mwanasikana wacho haazobudiriri, uye haazorambi ari wake. 18 Mambo achatendeudza chiso chake onanga kunyika dzemumhenderekedzo yegungwa, otora nharaunda zhinji. Mutungamiriri wehondo achaita kuti kuzvidza kwemunhu iyeye kupere, zvekuti kuzvidza kwake hakuzovipo. Achaita kuti kumudzokere. 19 Achabva atendeudzira chiso chake kunhare dzenyika yake, uye achagumburwa owa; haazowanikwi.
20 “Zvino panzvimbo yake pachamuka mumwe achaita kuti mudzvinyiriri* apfuure nemuumambo hwakanaka kwazvo, asi iye wacho achaparadzwa pangopera mazuva mashoma, kunyange zvazvo zvisingaitwi nekutsamwa kana nehondo.
21 “Panzvimbo yake pachamuka munhu anozvidzwa, uye havazomupi rukudzo samambo; achauya zvinhu pazvinenge zvakagadzikana,* otora umambo neunyengeri. 22 Asi zvombo zvinoita semafashamo zvichatsvairwa nekuda kwake, uye zvichaputswa;* ndizvo zvichaitwawo Mutungamiriri+ wesungano.+ 23 Achanyengera nemhaka yekubatana kwavakaita naye, osimuka, ova nesimba achishandisa rudzi rudiki. 24 Zvinhu pazvinenge zvakagadzikana, achapinda munzvimbo dzakapfuma kupfuura dzese mudunhu racho, oita zvisina kumboitwa nemadzibaba ake kana nemadzibaba emadzibaba ake. Achavagovanisa zvinhu zvakatorwa nechisimba nezvakapambwa nezvimwe zvinhu; uye acharongera nzvimbo dzakakomberedzwa nemasvingo mazano ake, asi achazviita kwenguva pfupi chete.
25 “Achazvisimbisa uye achashingisa mwoyo wake kuti arwise mambo wekumaodzanyemba aine uto guru, asi mambo wekumaodzanyemba achagadzirira kurwa aine uto rine simba uye rakakura kwazvo. Asi iye haazomiri, nekuti vachamurongera mazano. 26 Vaya vanodya machikichori ake ndivo vachaita kuti awe.
“Kana riri uto rake, richatsvairwa, uye vazhinji vachati katakata vafa.
27 “Kana ari madzimambo maviri aya, mwoyo yawo ichagara ichingoda kuita zvakaipa, uye achagara patafura imwe chete achinyeperana. Asi hapana chichabudirira, nekuti kuguma kuchazouya panguva yakasarudzwa.+
28 “Achadzokera kunyika yake nezvinhu zvizhinji kwazvo, uye mwoyo wake uchavenga sungano tsvene. Achaita zviri mumwoyo make odzokera kunyika yake.
29 “Panguva yakasarudzwa, achadzokera oenda kunorwisa vekumaodzanyemba. Asi panguva iyoyo hazvizoiti sepakutanga, 30 nekuti ngarava dzekuKitimu+ dzichauya kuzomurwisa, uye achaninipiswa.
“Achadzokera oratidza sungano tsvene+ kutsamwa kwake uye achaita zviri mumwoyo make; achadzokera ofunga nezvevaya vari kusiya sungano tsvene. 31 Uye mauto achasimuka achibva kwaari; osvibisa nzvimbo tsvene,+ iyo nhare, obvisa chibayiro chinogara chichipiwa.+
“Uye achaisa chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese.+
32 “Achatsausa vaya vanoita zvakaipa vachiputsa sungano, achishandisa mashoko anotapira.* Asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachakunda, uye vachaita zviri mumwoyo mavo. 33 Uye vaya vane njere+ vachaita kuti vazhinji vanzwisise. Vachawisirwa pasi kwechinguva nebakatwa nemarimi emoto, nekutapwa uye nekupambwa. 34 Asi pavanenge vawisirwa pasi, vachabatsirwa zvishoma; uye vazhinji vachabatana navo vachitaura mashoko anotapira.* 35 Uye pane vaya vane njere, vamwe vachagumburwa vowa, kuti basa rekuedza nekuchenesa nekunatsa+ rine chekuita nevane njere riitwe kusvikira panguva yekuguma; nekuti kuchasvika panguva yakasarudzwa.
36 “Mambo achaita zvaanoda, uye achazvikudza ozvikwidziridza pamusoro pavanamwari vese; uye achataura zvinhu zvinotoshamisa pamusoro paMwari wavanamwari.+ Achabudirira kusvikira kutsamwa kwapera; nekuti zvinhu zvakasarudzwa zvinofanira kuitika. 37 Achange asina kana basa naMwari wemadzibaba ake; uye haazovi nebasa nezvinodiwa nevakadzi kana kuva nebasa nemumwe mwari, asi achazvikwidziridza pamusoro pevanhu vese. 38 Iye achatokudza mwari wenhare; achakudza mwari akanga asingazivikanwi nemadzibaba ake achishandisa goridhe nesirivha nematombo anokosha nezvinhu zvakanaka.* 39 Achabudirira kurwisa nhare dzakavakirirwa zvakasimba, akabatana* namwari wekune imwe nyika. Achapa rukudzo rukuru kune vaya vanomuremekedza,* uye achaita kuti vatonge vanhu vazhinji; uye achagova nyika achipiwa mubhadharo.
40 “Munguva yekuguma mambo wekumaodzanyemba achasundidzirana* naye, uye mambo wekuchamhembe achauya kuzomurwisa nengoro zhinji nevatasvi vemabhiza nengarava zhinji; uye achapinda munyika dzacho achiita semafashamo. 41 Achapindawo munyika Inoshongedza,*+ uye nyika zhinji dzichakundwa. Asi idzi ndidzo dzichapukunyuka muruoko rwake: Edhomu neMoabhi nechikamu chinokosha chevaAmoni. 42 Acharamba achitambanudza ruoko rwake achirwisa nyika dzacho, uye kana iri nyika yeIjipiti haizopukunyuki. 43 Achatonga pfuma yakavanzwa yegoridhe nesirivha nezvinhu zvese zvinokosha zveIjipiti. VaRibhiya nevaItiopiya vachange vachimutevera.
44 “Asi mashoko achabva kumabvazuva nekuchamhembe achamuvhiringa, uye achaenda akatsamwa kwazvo kunoparadza uye kunotsakatisa vanhu vazhinji. 45 Achadzika matende ake eumambo pakati pegungwa guru negomo dzvene Rekushongedza;*+ uye achasvika pamagumo ake, uye hapana achamubatsira.
12 “Nguva iyoyo Mikaeri*+ muchinda mukuru,+ uyo ari kumira achirwira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yekutambudzika isina kumbovapo kubvira pakatanga kuumbwa rudzi kusvika panguva iyoyo. Uye panguva iyoyo vanhu vako vachapukunyuka,+ ivo vanhu vese vanowanikwa vakanyorwa mubhuku.+ 2 Vazhinji vakarara muguruva renyika vachamuka; vamwe vachamuka kuti vararame nekusingaperi uye vamwe vachamuka kuti vashorwe uye vazvidzwe nekusingaperi.
3 “Vaya vane njere vachapenya sechiedza chekudenga; uye vaya vari kuita kuti vazhinji vave vakarurama vachapenya senyeredzi nariini nariini.
4 “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko acho, uname bhuku racho kusvika panguva yekuguma.+ Vazhinji vachamhanya-mhanya,* uye ruzivo rwechokwadi ruchawanda.”+
5 Ini Dhanieri ndakabva ndatarisa ndikaona vamwe vaviri vakanga vakamira, mumwe kune mamwe mahombekombe erukova uye mumwe kumahombekombe aiva mhiri kwerukova rwacho.+ 6 Mumwe akabva ati kumurume akanga akapfeka nguo yejira+ aiva pamusoro pemvura yerukova rwacho: “Zvichatora nguva yakareba sei kusvika pachapera kuzadziswa kwezvinhu izvi zvinoshamisa?” 7 Ndakabva ndanzwa murume akanga akapfeka nguo yejira, uyo aiva pamusoro pemvura yerukova achipindura. Akasimudza ruoko rwake rwerudyi neruoko rwake rweruboshwe mudenga akapika naiye* anoramba ari mupenyu nekusingaperi+ achiti: “Zvichaita nguva imwe chete yakasarudzwa, nedzimwe nguva dzakasarudzwa, nehafu yenguva.* Pachangopera kuputswa-putswa kwesimba revanhu vatsvene,+ zvinhu izvi zvichabva zvasvikawo pamagumo azvo.”
8 Ini ndakazvinzwa, asi handina kuzvinzwisisa;+ saka ndakati: “Nhai ishe wangu, zvinhu izvi zvichaguma nei?”
9 Akabva ati: “Enda, Dhanieri, nekuti mashoko acho anofanira kuvanzwa uye kunamwa kusvika panguva yekuguma.+ 10 Vazhinji vachazvigeza vozvichenesa uye vachanatswa.+ Vakaipa vachaita zvakaipa, uye hapana kana vakaipa vachanzwisisa; asi vaya vane njere vachanzwisisa.+
11 “Kubvira panguva inenge yabviswa chibayiro chinogara chichipiwa+ uye panenge paiswa chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese,+ pachava nemazuva 1 290.
12 “Anofara ndiye anoramba akamirira* uye anosvika pamazuva 1 335!
13 “Asi iwe ramba wakasimba kusvika pamagumo. Uchazorora, asi uchamukira mugove wako* pachapera mazuva acho.”+
Kana kuti “yemutemberi.”
Kureva, Bhabhironia.
Dzimwe shanduro dzinoti, “kupiwa zvekudya.”
Kureva kuti “Mutongi Wangu ndiMwari.”
Kureva kuti “Jehovha Aratidza Nyasha.”
Zvichida rinoreva kuti “Ndiani Akaita saMwari?”
Kureva kuti “Jehovha Abatsira.”
Kureva, mazita ekuBhabhironi.
Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.
ChiAramaiki ndicho chakatanga kushandiswa pakanyorwa Dha 2:4b kusvika ku7:28.
Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo dzinorasirwa marara; mirwi yendove.”
Kana kuti, “ivhu rakaumbwa.”
Mamita anenge 27. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Mamita anenge 2,7. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “akavachinjira.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo dzinorasirwa marara; mirwi yendove.”
Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.
Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.
Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.
Kana kuti “chisimbiso.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “haana kuunzirwa vanoridza mimhanzi.”
Kureva, nguva nhatu nehafu.
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “yeSusa.”
Kureva, mukono wehwai.
Kana kuti “Yerunako.”
Kana kuti “mazuva 2 300.”
Kana kuti “ane unyanzvi hwekunyengera.”
Kana kuti “Achaparadza zvinotyisa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye achaparadza vanhu vakawanda asina kumbovayambira.”
Kana kuti “panguva iri kure chaizvo kubva pari zvino.”
Kureva, mabhuku matsvene.
Kana kuti “makatendeka.”
Kana kuti “anodiwa; anoremekedzwa.”
Kureva, mavhiki emakore.
Kana kuti “chisimbiso.”
Kana kuti “Muzodziwa.”
ChiHeb., “Hidhekeri.”
Kana kuti “anodiwa; anoremekedzwa.”
Kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?”
Kana kuti “muchinda ane chinzvimbo chepamusoro.”
Kana kuti “anodiwa; anoremekedzwa.”
Kana kuti “uye kuti ndive nhare yake.”
ChiHeb., “kumhepo ina dzekudenga.”
Kana kuti “simba reruoko rwake.”
Zvinoita sekuti pari kureva mambo wekumaodzanyemba.
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “zvinokosha.”
Zvinoita sekuti pari kureva mambo wekuchamhembe.
Panofanira kunge pachireva mambo wekumaodzanyemba.
Kana kuti “mauto ekumaodzanyemba haazokundi.”
Zvinoita sekuti pari kureva mambo wekumaodzanyemba.
Kana kuti “Yerunako.”
Zvichida munhu anomanikidza vanhu kubhadhara mutero.
Dzimwe shanduro dzinoti, “achauya asina kumbovayambira.”
Kana kuti “mauto anoita semafashamo achatsvairwa nekuda kwake, uye achaputswa.”
Kana kuti “ekunyengera.”
Kana kuti “vachinyengera; vasiri pachokwadi.”
Kana kuti “zvinokosha.”
Kana kuti “achibatsirwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vaanoremekedza.”
Kana kuti “achatungana.”
Kana kuti “Yerunako.”
Kana kuti “Rerunako.”
Kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?”
Kana kuti “vachanyatsoriongorora [kureva bhuku racho.]”
Kureva, Mwari.
Kureva, nguva nhatu nehafu.
Kana kuti “anomirira nemwoyo wese.”
Kana kuti “uchamuka munzvimbo yako yauchapiwa.”