RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Ezekieri 1:1-48:35
  • Ezekieri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ezekieri
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri

EZEKIERI

1 Mugore rechi30, pazuva rechishanu remwedzi wechina, pandakanga ndiri pakati pevanhu vakatapwa,+ pedyo nerwizi rwaKebhari,+ denga rakavhurika ndikatanga kuona zviratidzo zvaMwari. 2 Pazuva rechishanu remwedzi wacho, mugore rechishanu rekutapwa kwaMambo Jehoyakini,+ 3 shoko raJehovha rakauya kuna Ezekieri* mwanakomana wemupristi Bhuzai pedyo nerwizi rwaKebhari munyika yevaKadheya.+ Ruoko rwaJehovha rwakauya paari ari ikoko.+

4 Pandaiva ndakatarisa, ndakaona dutu rine simba+ richibva kuchamhembe, uye paiva negore guru nemoto waivaima,*+ izvo zvaiva zvakakomberedzwa nechiedza chinopenya, uye pakati pemoto wacho paiva nechimwe chinhu chaiita segoridhe rakasanganiswa nesirivha.+ 5 Mumoto wacho maiva nezvaiita sezvisikwa zvipenyu zvina,+ uye chimwe nechimwe chakanga chakaita semunhu. 6 Chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina nemapapiro mana.+ 7 Tsoka dzazvo dzakanga dzakatwasuka, uye pasi petsoka dzazvo pakanga pakaita sepetsoka dzemhuru, uye dzaipenya sekupenya kwemhangura yakapenyeswa.+ 8 Pasi pemapapiro azvo paiva nemaoko emunhu kumativi ese mana, uye zvese zviri zvina zvaiva nezviso nemapapiro. 9 Mapapiro azvo aigumana. Pazvaifamba, zvaisachinja kwazvakatarisa; chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.+

10 Izvi ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo: Zvese zviri zvina zvaiva nechiso chemunhu nechiso cheshumba+ kurudyi, nechiso chemukono wemombe+ kuruboshwe, uye chimwe nechimwe chazvo zviri zvina chaiva nechiso+ chegondo.+ 11 Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzwa ari pamusoro pazvo. Chimwe nechimwe chaiva nemapapiro maviri akanga akagumana, nemapapiro maviri akanga akavhara miviri yazvo.+

12 Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi, zvichienda kwese kwazvainzi nemweya zviende.+ Zvaisachinja kwazvakatarisa pazvaifamba. 13 Uye zvisikwa zvacho zvipenyu zvainge zvakaita semazimbe emoto ari kubvira, uye paiva neyaiita kunge mwenje inopenya yaienda mberi ichidzoka shure pakati pezvisikwa zvacho zvipenyu, uye paiva nemheni yaipenya ichibva mumoto wacho.+ 14 Zvisikwa zvacho zvipenyu pazvaienda mberi zvichidzoka, zvaifamba semheni dziri kupenya.

15 Pandainge ndakatarisa zvisikwa zvacho zvipenyu, ndakaona vhiri rimwe chete panyika, riri padivi pechisikwa chipenyu chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina.+ 16 Mavhiri acho aiita seaipenya sedombo rekrisoriti, uye ese ari mana akanga akafanana. Kutaridzika kwawo nekugadzirwa kwawo kwakanga kwakaita sekuti ivhiri riri mukati merimwe vhiri.* 17 Paaifamba, aikwanisa kuenda chero divi pamativi acho mana asina kumbochinja kwaakatarisa. 18 Mavhiri acho ese ari mana aiva nemarimu akanga akakura zvinoshamisa, uye akanga azere nemaziso kumativi ese.+ 19 Pese paifamba zvisikwa zvacho zvipenyu, mavhiri acho aifambawo pamwe chete nazvo, uye zvisikwa zvipenyu zvacho pazvaisimudzwa kubva panyika, mavhiri acho aisimudzwawo.+ 20 Zvaienda kwese kwazvainzi nemweya zviende, kwese kwaiendwa nemweya. Mavhiri acho aisimudzwawo pamwe chete nazvo, nekuti mumavhiri acho maivawo nemweya waishanda pazvisikwa zvipenyu.* 21 Pazvaifamba, iwo aifambawo; uye pazvaimira, iwo aimirawo; uye pazvaisimudzwa kubva panyika, mavhiri acho aisimudzwawo pamwe chete nazvo, nekuti mumavhiri acho maivawo nemweya waishanda pazvisikwa zvipenyu.

22 Nechepamusoro pezvisikwa zvacho zvipenyu paiva nechinhu chaiita sechakawaridzwa, chichipenya sechando chakaoma chinoyevedza uye chainge chakatambanudzwa pamusoro pazvo.+ 23 Mapapiro azvo akanga akati twasu* pasi pechinhu chacho, rimwe richisvika kune rimwe. Chimwe nechimwe chaiva nemapapiro maviri ekuvhara divi rimwe chete remiviri yazvo nemamwe maviri ekuvhara rimwe divi. 24 Pandakanzwa kutinhira kwemapapiro azvo, kwaiita sekutinhira kwemvura zhinji iri kuyerera, kwakafanana nekutinhira kweWemasimbaose.+ Pazvaifamba, zvaiita ruzha serweuto. Pazvaimira, zvaidzikisa mapapiro azvo pasi.

25 Pamusoro pechinhu chacho chakawaridzwa chaiva nechepamusoro pazvo painzwika inzwi. (Pazvaimira, zvaidzikisa mapapiro azvo pasi.) 26 Pamusoro pechinhu ichocho chakawaridzwa, paiva nechimwe chinhu chakaita sedombo resafaya,+ uye chakanga chakafanana nechigaro cheumambo.+ Pachigaro chacho cheumambo chaiva pamusoro, paiva neakanga akagara ipapo uyo akanga akaita semunhu.+ 27 Ndakaona chinhu chaipenya segoridhe rakasanganiswa nesirivha+ chainge chakaita semoto chaitangira maiita kunge muchiuno make zvichikwira; uye kubvira muchiuno make zvichidzika, ndakaona chimwe chinhu chaiita semoto.+ Kumativi ake ese kwaipenya chaizvo 28 semuraraungu+ uri mugore pakunenge kuchinaya mvura zhinji. Ndizvo zvakanga zvakaita kupenya kwechiedza chainge chakapoteredza. Kwakanga kwakaita sekubwinya kwaJehovha.+ Pandakakuona, ndakapfugama, ndikadzikisa musoro wangu, ndikatanga kunzwa inzwi remunhu aitaura.

2 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu,* simuka umire nditaure newe.”+ 2 Paakataura neni, mweya wakapinda mandiri ukaita kuti ndimire netsoka dzangu+ kuti ndinzwe iye aitaura neni.

3 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri,+ kumarudzi anopanduka ayo akandipandukira.+ Ivo nemadzitateguru avo vakabvira kare vachinditadzira uye nanhasi vachiri kunditadzira.+ 4 Ndiri kukutuma kuvanakomana vasingateereri uye vakaoma musoro+ uye unofanira kuti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha.’ 5 Kunyange vakateerera kana kuti vakaramba nemhaka yekuti ivo imba inopanduka,+ chokwadi vachaziva kuti pakati pavo paiva nemuprofita.+

6 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, usavatya,+ uye usatya mashoko avo, kunyange zvazvo wakakombwa nemakwenzi anobaya uye neminzwa*+ uye uchigara pakati pemarize.* Usatya mashoko avo,+ uye usavhundutswa nezviso zvavo,+ nekuti ivo imba inopanduka. 7 Unofanira kuvaudza mashoko angu, pasinei nekuti vanoteerera kana kuti vanoramba, nekuti ivo vapanduki.+

8 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, teerera zvandiri kukuudza. Usapanduka seimba iyi inopanduka. Shama muromo wako udye zvandiri kukupa.”+

9 Pandakatarisa, ndakaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri,+ uye rwainge rwakabata gwaro.*+ 10 Paakarivhura pamberi pangu, rakanga rakanyorwa mukati nekunze.+ Rainge rakanyorwa nziyo dzekushungurudzika* nemashoko anochemedza uye anoita kuti vanhu varidze mhere.+

3 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, idya zviri pamberi pako. Idya gwaro* iri woenda kunotaura neimba yaIsraeri.”+

2 Saka ndakashama muromo wangu, iye akaita kuti ndidye gwaro racho. 3 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, idya gwaro iri randiri kukupa uzadze dumbu rako naro.” Saka ndakatanga kuridya, uye raitapira seuchi.+

4 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, enda pakati peimba yaIsraeri, uvaudze mashoko angu. 5 Nekuti hausi kutumwa kuvanhu vanotaura mutauro usinganzwisisiki kana kuti vane rurimi rusingazivikanwi, asi kuimba yaIsraeri. 6 Hausi kutumwa kumarudzi mazhinji anotaura mutauro usinganzwisisiki kana kuti ane rurimi rusingazivikanwi, anotaura mashoko ausingagoni kunzwisisa. Kudai ndaizokutuma kwaari, aizokuteerera.+ 7 Asi imba yaIsraeri icharamba kukuteerera, nekuti havadi kunditeerera.+ Vanhu vese veimba yaIsraeri vane misoro yakaoma nemwoyo yakaoma.+ 8 Inzwa! Ndaomesa chiso chako sezvakangoita zviso zvavo uye ndaomesa huma yako sezvakangoita huma dzavo.+ 9 Ndaita kuti huma yako iite sedhaimondi, iome kupfuura dombo rakaomarara.+ Usavatya kana kuvhundutswa nezviso zvavo,+ nekuti ivo imba inopanduka.”

10 Akatizve kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, teerera mashoko ese andinokuudza uaise mumwoyo mako. 11 Enda pakati pevanhu vekwako*+ vakatapwa utaure navo. Uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha,’ pasinei nekuti vachateerera here kana kuti vacharamba.”+

12 Mweya wakabva wanditakura,+ uye ndakanzwa kutinhira kukuru kwakanga kusinganyarari shure kwangu kuchiti: “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake.” 13 Painzwika ruzha rwemapapiro ezvisikwa zvipenyu sezvo ainge achigumana,+ uye painzwika kutinhira kwemavhiri aiva pedyo nazvo,+ nekutinhira kukuru kwakanga kusinganyarari. 14 Mweya wakabva wanditakura, ukandiendesa, uye ndakaenda ndiine shungu, ndakatsamwa, uye ruoko rwaJehovha rwakagara pamusoro pangu zvine simba. 15 Saka ndakaenda kuvanhu vakatapwa vaiva kuTeri-abhibhi, avo vaigara pedyo nerwizi rwaKebhari,+ ndikagara ipapo pavaigara. Ndakagara navo kwemazuva manomwe, ndakavhiringidzika.+

16 Pakapera mazuva manomwe, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:

17 “Mwanakomana wemunhu, ndakugadza kuti uve murindi weimba yaIsraeri;+ uye kana ukanzwa shoko kwandiri, unofanira kuvanyevera zvandinenge ndakuudza.+ 18 Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Chokwadi uchafa,’ asi iwe worega kumuyambira, uye worega kutaura kuti uyambire munhu wacho akaipa kuti asiye nzira yake yakaipa kuti arambe ari mupenyu,+ iye achafira kukanganisa kwake nekuti akaipa,+ asi ndichabvunza ropa rake kwauri.*+ 19 Asi kana ukayambira munhu akaipa, iye orega kusiya zvakaipa zvake uye nzira yake yakaipa, achafira kukanganisa kwake, asi iwe uchazviponesa.+ 20 Asi kana munhu akarurama akarega kuita zvakarurama oita zvakaipa, ndichaisa chinhu chinogumbura pamberi pake uye achafa.+ Kana usina kumuyambira, achafira chivi chake uye mabasa ake akarurama haazoyeukwi, asi ndichabvunza ropa rake kwauri.*+ 21 Asi kana iwe uchinge wayambira munhu akarurama kuti asatadza, iye orega kutadza, chokwadi iye acharamba achirarama nekuti akayambirwa,+ uye iwe uchange wazviponesa.”

22 Ruoko rwaJehovha rwakauya pandiri ikoko uye akati kwandiri: “Simuka uende kubani, uye ndichataura newe ikoko.” 23 Saka ndakasimuka ndikaenda kubani, uye kubwinya kwaJehovha kwaiva ikoko;+ kwainge kwakafanana nekubwinya kwandakaona pedyo nerwizi rwaKebhari,+ uye ndakapfugama, ndikadzikisa musoro wangu. 24 Mweya wakabva wapinda mandiri, ukaita kuti ndisimuke,+ uye akataura neni, akati:

“Enda unozvivharira mumba mako. 25 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, vachaisa tambo pauri vokusunga nadzo kuti usabuda uchienda pakati pavo. 26 Ndichaita kuti rurimi rwako runamatire kumusoro mumukanwa mako, uye uchava mbeveve, usingakwanisi kuvatsiura, nekuti ivo imba inopanduka. 27 Asi pandinotaura newe, ndichavhura muromo wako, uye unofanira kuti kwavari,+ ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha.’ Munhu ari kuteerera ngaaterere,+ uye ari kuramba kuteerera ngaarambe, nekuti ivo imba inopanduka.+

4 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, tora chidhinha uchiise pamberi pako. Temerera pachiri mufananidzo weguta, iro Jerusarema. 2 Rikombe,+ vaka rusvingo rwekurirwisa,+ riunganidzire murwi wekurikomba,+ dzika misasa yekurirwisa uye ripoteredze nezvekugumurisa masvingo.+ 3 Tora gango resimbi uriise pakati pako neguta racho kuti rive rusvingo rwesimbi. Ubve watarisa kwariri wakatsamwa, uye richava guta rakakombwa; unofanira kurikomba. Ichi chiratidzo kuimba yaIsraeri.+

4 “Ubve warara nerutivi rwako rweruboshwe, woisa kukanganisa kweimba yaIsraeri pauri.*+ Uchatakura kukanganisa kwavo kwemazuva aucharara nerutivi. 5 Ndichakutemera mazuva 390, ayo akaenzana nemakore ekukanganisa kwavo,+ uye uchatakura kukanganisa kweimba yaIsraeri. 6 Unofanira kuapedza.

“Ucharara kechipiri nerutivi rwako rwerudyi, uye uchatakura kukanganisa kweimba yaJudha+ kwemazuva 40. Zuva rimwe chete richiva gore, zuva rimwe chete richiva gore, ndizvo zvandakusarudzira. 7 Uchatendeudzira chiso chako kuJerusarema+ wakarikomba, wakakwinya ruoko rwako, uye unofanira kuprofita pamusoro paro.

8 “Inzwa! ndichakusunga netambo kuti urege kupindukira kune rumwe rutivi rwako uchibva kune rumwe rutivi rwako, kusvikira wapedza mazuva ekukomba kwako.

9 “Uye unofanira kutora gorosi, bhari, bhinzi, nyemba, mapfunde, nesipereti,* wozviisa mumudziyo mumwe chete, wozvibikisa chingwa chako. Uchachidya kwemazuva 390 aunorara nerutivi.+ 10 Zuva rega rega uchayera zvekudya zvinorema mashekeri 20* wozvidya. Uchazvidya panguva dzichasarudzwa.

11 “Mvura yauchanwa ichaita zvekuyerwa, chikamu chimwe chete pazvikamu 6 zvehini.* Uchainwa panguva dzichasarudzwa.

12 “Uchachidya seuri kudya chingwa chebhari cheraundi; uchachibika ivo vachiona, uye tsvina yevanhu yakaoma ndiyo ichava huni dzako.” 13 Jehovha akatiwo: “VaIsraeri vachadyawo chingwa chavo saizvozvo, chisina kuchena, vari pakati pemarudzi andichavaparadzira kwaari.”+

14 Ndakabva ndati: “Hazviiti Changamire Ishe Jehovha! Kubva ndichiri mudiki kusvika iye zvino, handisati ndambosvibiswa nekudya nyama yemhuka yakafa yega kana kuti yakabvamburwa nechikara,+ uye handisati ndambodya nyama isina kuchena.”+

15 Saka akati kwandiri: “Zvakanaka, unogona kushandisa ndove yemombe panzvimbo petsvina yevanhu yakaoma, uye uchaishandisa pakubika chingwa chako.” 16 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kuita kuti zvekudya zvipere muJerusarema,*+ uye vachadya chingwa chavo chichiita zvekuyerwa,+ mwoyo yavo ichinetseka chaizvo, uye mvura yavachanwa ichaita zvekuyerwa uye vachainwa vachitya kwazvo.+ 17 Izvi zvichaitika kuitira kuti pavachashaya chingwa nemvura vatarisane vachiratidza kupererwa, voonda, nemhaka yekukanganisa kwavo.

5 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, tora bakatwa rakapinza urishandise sechisvo chekugeresa. Gera musoro wako nendebvu dzako, wotora bvudzi racho woriyera pachikero uchiriisa muzvikamu zvikamu. 2 Uchapisa chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvebvudzi racho muguta pachapera mazuva ekukomba.+ Uchabva watora chimwe chikamu wochidimbura-dimbura nebakatwa kumativi ese eguta,+ uye uchamwaya chikamu chekupedzisira chebvudzi racho mumhepo, uye ndichavhomora bakatwa rekuvadzingirira.+

3 “Unofanira kutorawo rimwe bvudzi shoma woriputira munguo yako. 4 Unofanira kutora rimwe bvudzi, worikanda mumoto, rotsva rese. Ipapo pachabva moto uchasvika kuimba yese yaIsraeri.+

5 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Iri ndiro Jerusarema. Ndakariisa pakati pemarudzi, rakapoteredzwa nedzimwe nyika. 6 Asi rapandukira mitongo yangu nemirau yangu, richitoita zvakaipa kupfuura marudzi nenyika dzakaripoteredza,+ nekuti varamba mitongo yangu, uye havana kufamba mumirau yangu.’

7 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nekuti mainetsa kupfuura marudzi akakupoteredzai uye hamuna kufamba mumirau yangu kana kuita zvandakataura mumitongo yangu, asi makatevera mitongo yemarudzi akakupoteredzai,+ 8 zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa, iwe guta,+ uye ini pachangu ndichaita zvandakakutongera, marudzi ese akatarisa.+ 9 Ndichakuitira zvandisati ndamboita uye zvandisingazomboitizve, nemhaka yemabasa ako ese anosemesa.+

10 “‘“Saka vanababa vari pakati pako vachadya vanakomana vavo,+ uye vanakomana vachadya vanababa vavo, uye ndichapa mutongo pakati pako, ndoparadzira vamwe venyu vese vasara kumativi ese.”’*+

11 “‘Saka neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘nekuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvidhori zvako zvese zvinonyangadza, nemabasa ako ese anosemesa,+ ini ndichakurambawo, ziso rangu harizonzwi urombo uye handizonzwi tsitsi.+ 12 Chikamu chako chimwe chete pazvitatu chichafa nedenda* kana kupera nenzara. Chimwe chikamu chacho chichaurayiwa nebakatwa kumativi ako ese.+ Uye ndichaparadzira chikamu chekupedzisira kumativi ese,* uye ndichavhomora bakatwa rekuvadzingirira.+ 13 Kutsamwa kwangu kuchabva kwapera, uye ndicharega kuvagumbukira, uye ndichagutsikana.+ Uye pandichange ndapedza kudurura kutsamwa kwangu pavari, vachaziva kuti ini, Jehovha, ndakataura, nekuti ndinoda kuzvipira kwakazara.+

14 “‘Ndichaita kuti uve nzvimbo yakaparadzwa uye chinhu chinozvidzwa nemarudzi akakupoteredza uye nevanhu vese vanopfuura nepauri.+ 15 Uchava chinhu chinozvidzwa uye chinoshorwa,+ uchava yambiro uye chinhu chinotyisa kumarudzi akakupoteredza, pandichaita zvandakakutongera, ndakatsamwa, ndiine hasha uye ndichikuranga ndakashatirwa. Ini, Jehovha, ndazvitaura.

16 “‘Ndichavatumira miseve inouraya yenzara kuti ivaparadze. Miseve yandichatuma ichakuparadzai.+ Ndichaita kuti nzara yenyu iwedzere nekukushayisai kwekuwana zvekudya.*+ 17 Ndichakutumira nzara nezvikara+ zvinotyisa uye zvichakuurayira vana. Denda neropa zvichakushayisa zvekuita uye ndichakurwisa nebakatwa.+ Ini, Jehovha, ndazvitaura.’”

6 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kumakomo eIsraeri uprofite pamusoro pawo. 3 Unofanira kuti, ‘Haiwa imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha: Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo, kuzvikomo, kuhova, nekumapani: “Inzwai! Ndichaunza bakatwa rekukurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira. 4 Atari dzenyu dzichaparadzwa, zvigadziko zvenyu zvekupisira rusenzi zvichaputswa,+ uye ndichakanda vanhu venyu vanenge vaurayiwa pamberi pezvidhori zvenyu zvinosemesa.*+ 5 Ndichakanda zvitunha zvevanhu veIsraeri pamberi pezvidhori zvavo zvinosemesa, uye ndichaparadzira mapfupa enyu kumativi ese eatari dzenyu.+ 6 Kwese kwamunogara, maguta achaparadzwa,+ uye nzvimbo dzakakwirira dzichaputswa, dzova matongo.+ Atari dzenyu dzichaparadzwa uye dzichaputswa, zvidhori zvenyu zvinosemesa zvichaparara, zvigadziko zvenyu zvekupisira rusenzi zvichaputswa uye zvamakagadzira zvichatsvairwa. 7 Uye vanhu vanenge vaurayiwa vachati rabada pakati penyu,+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+

8 “‘“Asi ndichasiya vamwe, nekuti vamwe venyu vachapukunyuka bakatwa pakati pemarudzi, pamuchange mapararira nenyika.+ 9 Uye vaya vanopukunyuka vachandiyeuka vari pakati pemarudzi anenge avatapa.+ Vachaziva kuti ndakarwadziswa nemwoyo yavo isina kutendeka,* iyo yakatsauka ichindisiya+ uye nemaziso avo ane ruchiva anotevera zvidhori zvavo zvinosemesa.+ Vachanyara uye vachasemeswa nezvinhu zvakaipa uye zvinosemesa zvavakaita.+ 10 Vachaziva kuti ndini Jehovha uye kuti mashoko angu ekuti ndichaunza dambudziko akanga asiri ekunyepa.”’+

11 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ombera, ubinhe pasi netsoka yako, ucheme nekuda kwezvinhu zvese zvakaipa uye zvinosemesa zvakaitwa neimba yaIsraeri, nekuti vachaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.+ 12 Munhu ari kure achafa nedenda, munhu ari pedyo achaurayiwa nebakatwa, uye munhu wese achapona pazvinhu izvi, osara ari mupenyu, achafa nenzara. Ndichanyatsoratidza hasha dzangu pavari.+ 13 Uye muchaziva kuti ndini Jehovha,+ kana vanourayiwa vavo vati rabada pakati pezvidhori zvavo zvinosemesa, kumativi ese eatari dzavo,+ pamusoro pezvikomo zvese zvakakwirira, pamusoro pemakomo ese, nepasi pemiti yese yakasvibirira, nepasi pemapazi emiti mikuru yese pavakapira zvinonhuhwirira kuti vafadze zvidhori zvavo zvese zvinosemesa.+ 14 Ndichavatambanudzira ruoko rwangu, ndoita kuti nyika yacho ive dongo, uye nzvimbo dzavo dzese dzavanogara dzichasara dzisina chinhu kupfuura renje riri pedyo neDhibra. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

7 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kunyika yeIsraeri: ‘Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika. 3 Kuguma kwazosvika pauri, ndicharegedzera kutsamwa kwangu pauri, uye ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, ndoita kuti uzvidavirire pamabasa ako ese anosemesa. 4 Ziso rangu harizokunzwiri urombo; uye handizonzwi tsitsi,+ nekuti ndichaunza pauri zvinoenderana nezvawakaita, uye uchatambura nemhaka yemabasa ako anosemesa.+ Uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’+

5 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Inzwai! Kune dambudziko riri kuuya, dambudziko rakasiyana nemamwe.+ 6 Kuguma kuri kuuya; kuguma kuchauya; kuchamuka kwouya pamuri. Tarisai! Kuri kuuya. 7 Nguva yako yasvika,* iwe mugari wemunyika. Nguva iri kuuya, zuva racho rava pedyo.+ Mumakomo mune kuvhiringidzika, kwete kushevedzera nemufaro.

8 “‘Pasina nguva ndichadururira hasha dzangu pauri,+ uye ndicharegedzera kutsamwa kwangu kwese pauri,+ ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, ndoita kuti uzvidavirire pamabasa ako ese anosemesa. 9 Ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi.+ Ndichaunza pauri zvinoenderana nezvawakaita, uye uchatambura nemhaka yemabasa ako anosemesa. Muchabva maziva kuti ini Jehovha, ndiri kukurovai.+

10 “‘Onai zuva racho! Riri kuuya!+ Nguva yako yasvika;* shamhu yatumbuka uye kuzvikudza kwatungira. 11 Mhirizhonga yakura ikava shamhu yezvakaipa.+ Hapana chichasara, ivo kana pfuma yavo, kana vanhu vavo, kana mukurumbira wavo. 12 Nguva ichauya, zuva racho richasvika. Mutengi ngaarege kufara, uye anotengesa ngaarege kuchema, nekuti chaunga chavo chese chakatsamwirwa.*+ 13 Nekuti uya akatengesa haazodzokeri kune chaakatengesa, kunyange kana akasiyiwa ari mupenyu, nekuti chiratidzo chacho ndechevanhu vacho vese. Hapana achadzokera, uye nemhaka yekukanganisa kwake,* hapana achachengetedza upenyu hwake.

14 “‘Varidza bhosvo,+ uye vanhu vese vagadzirira, asi hapana ari kuenda kunorwa, nekuti ndatsamwira chaunga chacho chese.+ 15 Kunze kune bakatwa,+ uye mukati mune denda nenzara. Munhu wese ari musango achaurayiwa nebakatwa, uye nzara nedenda zvichapedza vari muguta.+ 16 Vaya vachapukunyuka pakati pavo, vachaenda kumakomo, uye mumwe nemumwe achachema senjiva dzemumapani nemhaka yekukanganisa kwaakaita.+ 17 Maoko avo vese achapera simba, uye mabvi avo vese achadonha mvura.*+ 18 Vapfeka masaga,+ vari kudedera nekutya. Munhu wese achanyadziswa uye musoro wese uchava nemuparavara.*+

19 “‘Vachakanda sirivha yavo mumigwagwa, uye goridhe ravo richavasemesa. Sirivha yavo kana goridhe ravo hazvizokwanisi kuvanunura pazuva rekushatirwa kukuru kwaJehovha.+ Havazoguti,* uye havazozadzi matumbu avo, nekuti chava* chinhu chinoita kuti vakanganise. 20 Vaidada nekunaka kwezvishongo zvavo, uye vakazvigadzirisa* zvifananidzo zvavo zvinosemesa,+ izvo zvidhori zvavo zvinonyangadza. Ndokusaka ndichaita kuti chive chinhu chinovasemesa. 21 Ndichazviisa* mumaoko evanhu vekune imwe nyika kuti vazvitore nechisimba uye kuvanhu vakaipa panyika kuti vazvipambe, uye vachazvisvibisa.

22 “‘Ndichafuratidza chiso changu kwavari,+ uye vachasvibisa nzvimbo yangu yakavandika,* uye makororo achapinda mairi, oisvibisa.+

23 “‘Gadzirai cheni,*+ nekuti nyika yazara nemitongo inourayisa vanhu vasina mhosva+ uye guta razara nemhirizhonga.+ 24 Ndichaunza vanhu vakaipa kupfuura vese pamarudzi,+ uye vachavatorera dzimba dzavo,+ ndichaita kuti kudada kwevane simba kupere, uye nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.+ 25 Pavacharwadziwa, vachatsvaga rugare asi vacharushaya.+ 26 Pachauya dambudziko pamusoro pedambudziko, uye pachauya shoko pashure peshoko, uye vanhu vachatsvaga chiratidzo kumuprofita,+ asi mutemo uchashayikwa kumupristi uye zano richashayikwa kuvakuru.+ 27 Mambo achachema,+ jinda richapererwa, uye maoko evanhu vemunyika yacho achabvunda nekutya. Ndichavaitira zvinoenderana nenzira dzavo, uye ndichavatonga sematongero avaiita. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”+

8 Mugore rechi6, mumwedzi wechi6, riri zuva rechishanu remwedzi wacho, pandakanga ndakagara mumba mangu, vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaChangamire Ishe Jehovha rwakandibata ndiri imomo. 2 Pandakanga ndakatarisa, ndakaona chinhu chaiita semunhu, chaiva chakaita semoto; kutangira maiita kunge muchiuno make zvichidzika maiva nemoto,+ uye kutangira muchiuno make zvichikwira, aipenya segoridhe rakasanganiswa nesirivha.+ 3 Akabva atambanudza chinhu chaiita seruoko, akabata bvudzi rezhumu remusoro wangu ndokunditakura, mweya ukanditakura nepakati penyika nedenga, ukandiendesa kuJerusarema ndichiita zvekuoneswa chiratidzo naMwari, kusuo regedhi remukati+ rakatarisa kuchamhembe, uko kwaiva kwakamira chiratidzo* chegodo, chinomutsa godo.+ 4 Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri ipapo,+ kwakaita sekwandakanga ndamboona mubani.+

5 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndapota, tarisa kuchamhembe.” Saka ndakatarisa kuchamhembe, uye ikoko kuchamhembe kwegedhi reatari ndiko kwaiva nechiratidzo ichi chegodo, chiri pekupinda napo. 6 Uye akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zvinhu zvisingaiti uye zvinosemesa zviri kuitwa neimba yaIsraeri,+ zvinhu zvinoita kuti ndiende kure chaizvo nenzvimbo yangu tsvene?+ Asi uchaona zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura ipapo.”

7 Akabva andiendesa kusuo rechivanze, uye pandakatarisa, ndakaona buri raiva pamadziro. 8 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndapota, boora madziro.” Saka ndakaboora madziro acho ndikaona suo. 9 Akati kwandiri: “Pinda uone zvinhu zvakaipa uye zvinosemesa zvavari kuita.” 10 Saka ndakapinda, ndikatarisa, uye ndakaona mifananidzo yemarudzi ese yezvinhu zvinokambaira nemhuka dzinosemesa,+ nezvidhori zvese zvinosemesa* zveimba yaIsraeri;+ mifananidzo yacho yakanga yakatemerwa pamadziro kumativi ese. 11 Uye vakuru 70 veimba yaIsraeri vakanga vakamira pamberi payo, Jaazaniya mwanakomana waShafani+ akamira pakati pavo. Mumwe nemumwe aiva nemudziyo wake wekupisira zvinonhuhwirira muruoko rwake, uye paiva negore rinonhuhwirira rerusenzi raikwira mudenga.+ 12 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zviri kuitwa nevakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nemumwe ari mudzimba dzemukati makaiswa zvifananidzo zvake? Nekuti vari kuti, ‘Jehovha haasi kutiona. Jehovha abva munyika.’”+

13 Akatizve kwandiri: “Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatonyanya kuipa zvavari kuita.” 14 Saka akandiendesa kusuo regedhi rekuchamhembe reimba yaJehovha, uye ikoko ndakaona vakadzi vakanga vakagara, vachichema mwari anonzi Tamuzi.

15 Uye akatizve kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuzviona here? Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura izvi.”+ 16 Saka akapinda neni muchivanze chemukati cheimba yaJehovha.+ Ipapo pasuo retemberi yaJehovha, pakati pevharanda neatari, paiva nevarume vanenge 25 vakanga vakafuratira temberi yaJehovha, vakatarisa kumabvazuva; uye vaipfugamira zuva kumabvazuva.+

17 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuzviona here? Zvinhu izvi zvinosemesa zviri kuitwa neimba yaJudha zvidiki here, naiko kuzadza kwavari kuita nyika nemhirizhonga,+ vachiramba vachindigumbura? Vari kutambanudzira bazi* kumhino yangu. 18 Saka ini ndicharatidza hasha dzangu. Ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi.+ Kunyange kana vakashevedzera munzeve dzangu nenzwi guru, ini handizovanzwi.”+

9 Akabva ashevedzera nenzwi guru ini ndichinzwa, achiti: “Shevedzai vaya vacharanga guta, mumwe nemumwe auye nechombo chake chekuparadza muruoko rwake!”

2 Ndakaona varume 6 vachibva nechekugedhi rekumusoro+ rakatarisa kuchamhembe, mumwe nemumwe akabata chombo chekuputsa nacho; uye pakati pavo paiva nemumwe murume akanga akapfeka nguo yejira, aine nyanga yeingi yemunyori* muchiuno make, uye vakapinda, vakamira pedyo neatari yemhangura.+

3 Kubwinya kwaMwari waIsraeri+ kwakabva kwasimuka pamusoro pemakerubhi pakwakanga kuri, kukaenda pachidimbati* chepasuo reimba yacho,+ uye akatanga kushevedzera kumurume akanga akapfeka nguo yejira, aiva nenyanga yeingi yemunyori muchiuno make. 4 Jehovha akati kwaari: “Pfuura nemuguta, imo muJerusarema, uise chiratidzo pahuma dzevanhu vari kuchema nekugomera+ pamusoro pezvinhu zvese zvinosemesa zviri kuitwa muguta.”+

5 Uye akati kune vamwe ini ndichinzwa: “Pfuurai nemuguta muchimutevera, muuraye. Ziso renyu ngarirege kunzwa urombo, uye musambonzwa tsitsi.+ 6 Munofanira kuuraya vese, harahwa, jaya, mhandara, mwana mudiki, nevakadzi.+ Asi musaswedera pedyo nemunhu wese ane chiratidzo.+ Munofanira kutangira panzvimbo yangu tsvene.”+ Saka vakatanga nevakuru vaiva pamberi peimba yacho.+ 7 Akabva ati kwavari: “Svibisai imba yacho, muzadze zvivanze nevanenge vaurayiwa!+ Endai!” Saka vakaenda vakauraya vanhu muguta.

8 Pavakanga vachivauraya, ini ndega ndini ndakasiyiwa, uye ndakapfugama, ndikadzikisa musoro wangu, ndikashevedzera ndichiti: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Pamuri kudurura hasha dzenyu paJerusarema muchaparadza vaIsraeri vese vakasara here?”+

9 Saka akati kwandiri: “Kukanganisa kweimba yaIsraeri neyaJudha kwakakura zvisingaiti.+ Nyika yazadzwa nekudeura ropa,+ uye guta razara neuori.+ Nekuti vari kuti, ‘Jehovha abva munyika, uye Jehovha haasi kuona.’+ 10 Asi ini, ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi.+ Ndichaunza pamisoro yavo zvinoenderana nezvavakaita.”

11 Ndakabva ndaona murume uya akanga akapfeka nguo yejira aine nyanga yeingi muchiuno make achidzoka neshoko rekuti: “Ndaita zvese zvamandirayira.”

10 Pandakanga ndakatarisa, ndakaona pamusoro pechinhu chakawaridzwa chaiva nechepamusoro pemakerubhi paine chimwe chinhu chakaita sedombo resafaya, uye chakanga chakafanana nechigaro cheumambo.+ 2 Akabva ati kumurume akanga akapfeka nguo yejira:+ “Pinda pakati pemavhiri,+ pasi pemakerubhi, uzadze maoko ako nemazimbe emoto ari kubvira+ ari pakati pemakerubhi, uamwaye pamusoro peguta racho.”+ Saka akapinda ini ndakatarisa.

3 Makerubhi acho akanga akamira kurudyi rweimba pakapinda murume wacho, uye gore rakazadza chivanze chemukati. 4 Kubwinya kwaJehovha+ kwakasimuka kuchibva pamakerubhi kukaenda pachidimbati* chesuo reimba yacho, uye zvishoma nezvishoma imba yacho yakazadzwa negore,+ uye chivanze chainge chizere nekupenya kwekubwinya kwaJehovha. 5 Kutinhira kwemapapiro emakerubhi kwaigona kunzwika muchivanze chekunze, sezvinoita inzwi raMwari Wemasimbaose paanotaura.+

6 Akabva arayira murume akanga akapfeka nguo yejira, achiti: “Tora moto pakati pemavhiri, pakati pemakerubhi,” uye akapinda, akamira pedyo nevhiri. 7 Rimwe kerubhi rakabva ratambanudza ruoko rwaro ruchienda kumoto wakanga uri pakati pemakerubhi.+ Rakatora mumwe moto rikauisa mumaoko emurume akanga akapfeka nguo yejira,+ uyo akabva autora, akabuda. 8 Makerubhi acho aiva nezvaiita semaoko emunhu pasi pemapapiro awo.+

9 Pandakanga ndakatarisa, ndakaona mavhiri mana aiva pedyo nemakerubhi acho, vhiri rimwe chete riri pedyo nekerubhi, uye mavhiri acho aiita seaipenya sedombo rekrisoriti.+ 10 Kana kuri kutaridzika kwawo, ese ari mana akanga akafanana, achiita sekuti ivhiri riri mukati merimwe vhiri. 11 Paaifamba, aikwanisa kuenda chero divi pamativi acho mana asina kumbochinja kwaakatarisa, nekuti aienda kwese kwaitarisa musoro asina kumbochinja kwaakatarisa. 12 Akanga azere nemaziso pamiviri yawo yese, pamisana yawo, pamaoko awo, pamapapiro awo, nepamavhiri acho, mavhiri awo ese ari mana.+ 13 Kana ari mavhiri acho, ndakanzwa inzwi raishevedzera kwaari richiti, “Imi mavhiri!”

14 Rimwe nerimwe* raiva nezviso zvina. Chiso chekutanga chaiva chekerubhi, chechipiri chaiva chemunhu, chechitatu chaiva cheshumba, uye chechina chaiva chegondo.+

15 Makerubhi acho aisimuka achienda mudenga, uye ndiwo zvisikwa zvipenyu* zviya zvandakanga ndaona kurwizi rwaKebhari,+ 16 uye paifamba makerubhi, mavhiri acho aifambawo ari pedyo nawo; uye makerubhi acho paaisimudza mapapiro awo achienda mudenga, mavhiri acho aisachinja kwaakananga kana kubva kudivi rawo.+ 17 Paaimira, iwo aimirawo; uye paaisimuka, iwo aisimukawo pamwe chete nawo, nekuti mweya waishanda pazvisikwa zvipenyu* waiva maari.

18 Kubwinya kwaJehovha+ kwakabva kwasimuka pachidimbati chesuo reimba yacho, kukanomira pamusoro pemakerubhi.+ 19 Makerubhi acho akabva asimudza mapapiro awo, akasimuka achibva panyika ndichizviona. Mavhiri acho aivawo pedyo nawo paakasimuka. Akanomira pasuo regedhi rekumabvazuva reimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwaiva pamusoro pawo.+

20 Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu* zvandakanga ndaona zviri pasi paMwari waIsraeri kurwizi rwaKebhari,+ saka ndakabva ndaziva kuti aiva makerubhi. 21 Ese ari mana aiva nezviso zvina, nemapapiro mana, uye aiva nezvaiita semaoko emunhu pasi pemapapiro awo.+ 22 Zviso zvawo zvakanga zvakaita sezviso zvandakanga ndaona pedyo nerwizi rwaKebhari.+ Rimwe nerimwe raifamba rakananga mberi.+

11 Zvino mweya wakandisimudza ukandiendesa pagedhi rekumabvazuva reimba yaJehovha, gedhi rakatarisa kumabvazuva.+ Ndakaona varume 25 pagedhi racho, uye pakati pavo paiva naJaazaniya mwanakomana waAzuri naPeratiya mwanakomana waBhenaya, machinda evanhu.+ 2 Iye akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ava ndivo varume vari kuronga zvinhu zvakaipa uye vari kupa mazano akaipa muguta rino. 3 Vari kuti, ‘Ino haisi nguva yekuvaka dzimba here?+ Guta* ndiro hari,*+ uye isu ndisu nyama yacho.’

4 “Saka profita nezvavo. Profita iwe mwanakomana wemunhu.”+

5 Mweya waJehovha wakabva wauya pandiri,+ uye akati kwandiri: “Iti, ‘Zvanzi naJehovha: “Mataura chokwadi imi imba yaIsraeri, uye ndinoziva zvamuri kufunga. 6 Makaurayisa vanhu vakawanda muguta rino, uye makazadza migwagwa yaro nevanhu vakafa.”’”+ 7 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Zvitunha zvamakazadza muguta ndizvo nyama yacho, uye guta rino ndiro hari yacho.+ Asi imi muchabudiswa mariri.’”

8 “‘Makatya bakatwa,+ asi ini ndichaunza bakatwa rekukurwisai,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 9 ‘Ndichakubudisai mariri, ndokuisai mumaoko evanhu vekune imwe nyika, ndokuitirai zvandakakutongerai.+ 10 Muchaurayiwa nebakatwa.+ Ndichakutongerai pamuganhu weIsraeri,+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+ 11 Guta rino harizovi hari yenyu, uye imi hamuzovi nyama iri mukati maro; ndichakutongerai pamuganhu weIsraeri, 12 uye muchaziva kuti ndini Jehovha. Nekuti hamuna kufamba mumirau yangu uye hamuna kuita maererano nemitongo yangu,+ asi makaita maererano nemitongo yemarudzi akakupoteredzai.’”+

13 Pandakangoprofita, Peratiya mwanakomana waBhenaya akabva afa, uye ndakapfugama, ndikadzikisa musoro wangu, ndikashevedzera nenzwi guru ndichiti: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Mava kuparadza vaIsraeri vakasara here?”+

14 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 15 “Mwanakomana wemunhu, hama dzako, idzo hama dzako dziya dzine kodzero yekudzikinura, pamwe chete neimba yese yaIsraeri, vakaudzwa nevagari vemuJerusarema kuti, ‘Endai kure naJehovha. Nyika ndeyedu; takaipiwa kuti ive yedu.’ 16 Saka iti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Kunyange zvazvo ndakavabvisa ndichivaendesa kure kuti vagare pakati pemarudzi, uye kunyange zvazvo ndakavaparadzira nenyika,+ ndichava nzvimbo tsvene kwavari kwenguva diki munyika dzavakaenda.”’+

17 “Saka iti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichakuunganidzaiwo muchibva kumarudzi acho uye ndichakuunganidzai kubva kunyika dzamakaparadzirwa kwadziri, uye ndichakupai nyika yeIsraeri.+ 18 Vachadzokera ikoko vobvisa zvinhu zvayo zvese zvinonyangadza netsika dzayo dzinosemesa.+ 19 Ndichavapa mwoyo mumwe chete,+ uye ndichaisa mweya mutsva mavari;+ uye ndichabvisa mwoyo wedombo mumiviri yavo+ ndovapa mwoyo wenyama,*+ 20 kuti vafambe mumirau yangu uye vachengete mitongo yangu vachiiteerera. Vachabva vava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.”’

21 “‘“Asi kana vari vaya vane mwoyo inoomerera pakuramba ichiita zvinhu zvavo zvinosemesa netsika dzavo dzinonyangadza, ndichaunza pamisoro yavo zvinoenderana nezvavakaita,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.’”

22 Makerubhi akabva asimudza mapapiro awo, mavhiri acho ari pedyo nawo,+ uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.+ 23 Kubwinya kwaJehovha+ kwakabva kwasimuka kuchibva pamusoro peguta, kukanomira pamusoro pegomo, kumabvazuva kweguta.+ 24 Mweya wakabva wandisimudza, ndichiita zvekuoneswa chiratidzo nemweya waMwari, ukandiendesa kuKadheya kuvanhu vakatapwa. Chiratidzo chandakaoneswa chakabva chabva pandiri. 25 Uye ndakatanga kuudza vanhu vakanga vakatapwa zvinhu zvese zvandakanga ndaratidzwa naJehovha.

12 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, uri kugara nevanhu vanopanduka. Vane maziso ekuona asi havaoni, nenzeve dzekunzwa asi havanzwi,+ nekuti ivo imba inopanduka.+ 3 Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvirongedzere mukwende wekutapwa nawo. Ubve waenda kuutapwa ari masikati ivo vakatarisa. Ibva pamba pako uende kuutapwa kune imwe nzvimbo, ivo vakatarisa. Zvimwe vachaona, kunyange zvazvo vari imba inopanduka. 4 Budisa mukwende wako wakarongedzerwa kuenda kuutapwa; ubudise masikati ivo vakatarisa, uye kana ava manheru, unofanira kuenda semunhu ari kuendeswa kuutapwa, ivo vakatarisa.+

5 “Boora madziro ivo vakatarisa, ubudise zvinhu zvako naipapo.+ 6 Unofanira kutakura zvinhu zvako papfudzi rako ivo vakatarisa, wozvibudisa kwasviba. Ufukidze chiso chako kuti urege kuona pasi, nekuti ndiri kukuita chiratidzo kuimba yaIsraeri.”+

7 Ndakaita zvese zvandakarayirwa. Masikati ndakabudisa mukwende wangu, semukwende wekutapwa nawo, uye ava manheru ndakaboora madziro nemaoko angu. Uye pakwakanga kwasviba ndakabudisa zvinhu zvangu ndakazvitakura papfudzi, ivo vakatarisa.

8 Mangwanani, shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 9 “Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri, iyo imba yekupanduka, haina kukubvunza here kuti, ‘Uri kuitei?’ 10 Vaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Shoko iri rine chekuita nejinda+ riri muJerusarema neimba yese yaIsraeri iri muguta.”’

11 “Iti, ‘Ndiri chiratidzo kwamuri.+ Zvandaita ndizvo zvavachaitirwa. Vachaendeswa kuutapwa kune imwe nyika.+ 12 Jinda riri pakati pavo richatakura zvinhu zvaro papfudzi, roenda kwasviba. Richaboora madziro robudisa zvinhu zvaro naipapo.+ Richafukidza chiso charo kuti rirege kuona pasi.’ 13 Ndichatambanudza mambure angu pamusoro paro, uye richabatwa nemambure angu ekuvhimisa.+ Ndichabva ndariendesa kuBhabhironi, kunyika yevaKadheya, asi harizoioni; uye iro richafira ikoko.+ 14 Vaya vese vakaripoteredza, vaya vanoribatsira uye mauto aro, ndichavaparadzira kwese kwese;+ uye ndichavhomora bakatwa kuti rivadzingirire.+ 15 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichavaparadzira kune mamwe marudzi, uye pandichaita kuti vapararire nenyika. 16 Asi ndichaita kuti pave nevashoma vavo vanopona pabakatwa, nenzara, nedenda, kuti vazoudza marudzi avachaenda kwaari zvinhu zvavo zvese zvinosemesa; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

17 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 18 “Mwanakomana wemunhu, idya zvekudya zvako uchibvunda, unwe mvura yako usina kugadzikana uye uchishushikana.+ 19 Uti kuvanhu vemunyika yacho, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kuvagari vemuJerusarema vari munyika yeIsraeri: “Vachadya zvekudya zvavo vachishushikana, uye vachanwa mvura yavo vachitya chaizvo, nekuti nyika yavo ichasara isina kana chinhu+ nemhaka yemhirizhonga inoitwa nevaya vese vanogara mairi.+ 20 Maguta anogarwa achaparadzwa uye nyika ichava dongo;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”+

21 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 22 “Mwanakomana wemunhu, muri kurevei nechirevo ichi chamuri kutaura muIsraeri, chinoti, ‘Mazuva ari kupindana, uye zviratidzo zvese hazvizadziswi’?+ 23 Saka iti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havazochishandisizve sechirevo muIsraeri.”’ Asi vaudze kuti, ‘Mazuva aswedera pedyo,+ uye zviratidzo zvese zvichaitika.’ 24 Nekuti muimba yaIsraeri hamuzovizve nechiratidzo chenhema kana kufembera kwekungofadzana nenhema.+ 25 ‘“Nekuti ini Jehovha ndichataura. Chero shoko randichataura richaitika pasina kunonoka zvakare.+ Mumazuva enyu,+ haiwa imi imba inopanduka, ndichataura shoko ndoriita,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.’”

26 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 27 “Mwanakomana wemunhu, vanhu veIsraeri vari kuti, ‘Chiratidzo chaanoona chichaitika kwapera nguva refu, uye ari kuprofita nezvenguva iri kure.’+ 28 Saka iti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “‘Hapana shoko rangu richanonoka kuitika; zvese zvandinotaura zvichaitika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’”

13 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, profita pamusoro pevaprofita veIsraeri,+ uti kune vaya vari kuprofita zvemusoro wavo,+ ‘Inzwai shoko raJehovha. 3 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Vane nhamo vaprofita mapenzi, vanotaura zvavanozvifungira vega, ivo vasina chavakaona!+ 4 Haiwa iwe Israeri, vaprofita vako vava kungoita semakava ari munzvimbo dzakaparara. 5 Hamuzoendi panzvimbo dzakaputsika dzerusvingo rwematombo kuti mudzivakirezve imba yaIsraeri,+ kuti vaIsraeri vakwanise kumira vakasimba muhondo pazuva raJehovha.”+ 6 “Vakaona zviratidzo zvenhema uye vakaprofita zvenhema, ivo vaya vari kuti, ‘Zvanzi naJehovha,’ asi ivo vasina kutumwa naJehovha. Kunyange zvakadaro, vanototarisira kuti shoko ravo richazadziswa.+ 7 Chiratidzo chamakaona hachisi chenhema here, uye zvamakaprofita hazvisi zvenhema here, muchiti, ‘Zvanzi naJehovha,’ asi ini ndisina chandataura?”’

8 “‘Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “‘Nemhaka yekuti makataura nhema uye zviratidzo zvenyu ndezvenhema, ndiri kukurwisai,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”+ 9 Ruoko rwangu rwava kurwa nevaprofita vari kuona zviratidzo zvenhema uye vari kuprofita zvenhema.+ Havazovi pavanhu vandinoudza zvinhu zvakavanzika; uye havazonyorwi mubhuku reimba yaIsraeri; uyewo havazodzokeri kunyika yeIsraeri; uye muchaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.+ 10 Zvese izvi zvichaitika nekuti vakatsausa vanhu vangu, vachiti, “Kune runyararo!” iko kusina runyararo.+ Panovakwa madziro asina kusimba ekukamuranisa dzimba, vanoadzurura nevhu jena.’*+

11 “Udzai vaya vari kudzurura nevhu jena kuti iwo achadonha. Kuchanaya mvura zhinji, chimvuramabwe chichadonha* uye madutu ane simba achaputsa madziro acho.+ 12 Uye pachadonha madziro acho, muchabvunzwa kuti, ‘Ko ivhu jena ramakadzurura naro riri kupi?’+

13 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndichashatirwa ndoita kuti madutu ane simba avhuvhute, uye ndichatsamwa ndonayisa mvura zhinji, uye nehasha dzangu ndichaparadza nechimvuramabwe. 14 Ndichaputsa madziro amakadzurura nevhu jena ndoawisira pasi, uye faundesheni yawo ichasara pachena. Pachawa guta racho, muchaparara muri mariri; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’

15 “‘Pandichanyatsoratidza hasha dzangu pamadziro nepane vaya vakaadzurura nevhu jena, ndichati kwamuri: “Madziro haasisipo, uye vaya vanoadzurura havasisipo.+ 16 Vaprofita veIsraeri havasisipo, ivo vaya vanoprofitira Jerusarema uye vanoona zviratidzo zvekuti richava nerunyararo,+ ipo pasina runyararo,”’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

17 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, tarisa vanasikana vevanhu vekwako wakatsamwa, avo vari kuprofita zvemusoro wavo, uprofite kwavari. 18 Vaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Vane nhamo vakadzi vanosonera vanhu vese tutambo twemumaoko* uye vanogadzira machira emumusoro evanhu vemazera ese kuti vavhime vanhu! Muri kuvhima vanhu vangu kuti muvauraye asi muchichengetedza upenyu hwenyu here? 19 Mungandisvibisa pakati pevanhu vangu muchingoitira kuwana tsama dzebhari uye mafufu echingwa,+ muchiuraya vaya vasingafaniri* kufa asi muchisiya vaya vanofanira kufa, muchidaro nekurevera vanhu vangu nhema, avo vanoteerera nhema dzenyu here?”’+

20 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndatsamwiswa netutambo twenyu twemumaoko, imi vakadzi, twamunoshandisa kuvhima vanhu sekunge kuti ishiri, uye ndichatudimbura pamaoko enyu, ndosunungura vaya vamuri kuvhima seshiri. 21 Ndichabvarura machira enyu emumusoro ndonunura vanhu vangu pamaoko enyu, uye havazovi chinhu chamunobata pakuvhima; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+ 22 Nekuti makaita kuti munhu akarurama aore mwoyo nenhema+ dzenyu, kunyange zvazvo ini ndakanga ndisingadi kuti ashungurudzike,* uye makasimbisa maoko emunhu akaipa+ zvekuti haasiyi nzira yake yakaipa, kuti arambe ari mupenyu.+ 23 Saka vakadzi imi hamuzooni zvakare zviratidzo zvenhema uye hamuzofemberi zvakare;+ uye ndichanunura vanhu vangu pamaoko enyu, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’”

14 Zvino vamwe vakuru vaIsraeri vakauya vakagara pamberi pangu.+ 2 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri richiti: 3 “Mwanakomana wemunhu, varume ava vashinga kutevera zvidhori zvavo zvinosemesa,* uye vaita zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze. Saka ndingavarega vachindibvunza here?+ 4 Zvino taura navo, uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Kana muIsraeri akashinga kutevera zvidhori zvake zvinosemesa, achiita zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze, obva auya kumuprofita kuzomubvunza, ini, Jehovha, ndichamupindura maererano nekuwanda kwezvidhori zvake zvinosemesa. 5 Nekuti ndichaita kuti mwoyo yeimba yaIsraeri itye chaizvo, nekuti vese zvavo vakandisiya uye vakatevera zvidhori zvavo zvinosemesa.”’+

6 “Saka udza imba yaIsraeri kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Dzokai, uye siyai zvidhori zvenyu zvinosemesa uye zviso zvenyu ngazvibve pamabasa enyu ese anosemesa.+ 7 Nekuti kana pakava nemuIsraeri kana munhu wekune imwe nyika ari kugara muIsraeri anondisiya, oshinga kutevera zvidhori zvake zvinosemesa achiita zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze, obva auya kuzobvunza muprofita wangu,+ ini, Jehovha, ndini ndichamupindura. 8 Ndichatarisa munhu iyeye ndakatsamwa ndoita kuti ave yambiro kune vamwe uye ave chirevo, uye ndichamubvisa pavanhu vangu;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’

9 “‘Asi kana muprofita akanyengedzwa obva apindura, ini Jehovha, ndini ndinenge ndanyengedza muprofita wacho.+ Ndichabva ndamutambanudzira ruoko rwangu, ndomuparadza pakati pevanhu vangu vaIsraeri. 10 Ivo vachatambura nemhaka yekukanganisa kwavo; mhosva yeuya anobvunza ichange yakangofanana nemhosva yemuprofita wacho, 11 kuti vanhu veimba yaIsraeri varege kurasika vachibva pandiri uye varege kuzvisvibisa nekukanganisa kwavo kwese. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

12 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 13 “Mwanakomana wemunhu, kana nyika ikanditadzira ichiita zvisina kutendeka, ndichaitambanudzira ruoko rwangu,+ ndoita kuti zvekudya zviri mairi zvipere,* uye ndichaitumira nzara,+ ndoparadza vanhu nezvipfuwo mairi.”+ 14 “‘Kunyange dai varume vatatu ava, Noa,+ Dhanieri,+ naJobho+ vaiva mairi, vaizongozviponesa ivo chete nekuda kwekururama kwavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

15 “‘Kunyange dai ndaizoita kuti zvikara zvinotyisa zvipfuure nemunyika yacho, zvoita kuti isare isisina vanhu, yova dongo risina anopfuura nemariri nemhaka yezvikara zvacho,+ 16 neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘kunyange dai varume vatatu ava vaiva mairi, vaisazokwanisa kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo; vaizongozviponesa ivo chete, asi nyika yacho yaizova dongo.’”

17 “‘Kunyange dai ndaizoita kuti bakatwa riuye panyika iyoyo,+ ndoti: “Bakatwa ngaripfuure nemunyika yacho,” ndoparadza vanhu nezvipfuwo mairi,+ 18 kunyange dai varume vatatu ava vaiva mairi, neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘vaisazokwanisa kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo; vaizongozviponesa ivo chete.’”

19 “‘Kana kuti, kudai ndaizotuma denda panyika iyoyo,+ ndodururira hasha dzangu pairi, zvoita kuti pave nekudeurwa kweropa, kuti ndiparadze vanhu nezvipfuwo mairi, 20 kunyange dai Noa,+ Dhanieri,+ naJobho+ vaiva mairi, neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘vaisazokwanisa kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo; vaizongozviponesa ivo chete nekuda kwekururama kwavo.’”+

21 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndizvo zvazvichaita pandichatumira zvinhu zvina zvekuranga+ Jerusarema zvinoti bakatwa, nzara, chikara chinotyisa, nedenda,+ kuti ndiparadze vanhu nezvipfuwo mariri.+ 22 Asi vamwe vari mariri vachapona vobudiswa imomo,+ vanakomana nevanasikana. Vachauya kwamuri, uye pamuchaona nzira dzavo nemabasa avo, muchanyaradzwa padambudziko randichaunza paJerusarema, izvo zvinhu zvese zvandinenge ndariitira.’”

23 “‘Vachakunyaradzai pamuchaona nzira dzavo nemabasa avo, uye muchaziva kuti zvandakariitira handina kungozviita pasina chikonzero,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

15 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, muzambiringa ungafanana nemimwe miti yese kana kuti nebazi remuti wemusango here? 3 Bango rinotorwa pauri rine basa raringaitiswa here? Kana kuti vanhu vangaugadzirisa hoko yekuturika midziyo here? 4 Iwo unokandwa mumoto kuti uve huni uye moto wacho unoparadza mativi awo ese maviri, wobvuraudzwa pakati pawo. Pane basa raungazoshandiswa here? 5 Kunyange pawainge uchakazara, hapana chawaigona kushandiswa. Ko kuzoti watsva uye wabvuraudzwa nemoto, pane chauchagona kuitiswa here?”

6 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaitira vagari vemuJerusarema sezvandakaitira muzambiringa uri pakati pemiti yemusango, wandakaita kuti uve huni.+ 7 Ndavatarisa ndakatsamwa. Vakapona mumoto, asi moto uchavaparadza. Uye muchaziva kuti ndini Jehovha pandichavatarisa ndakatsamwa.’”+

8 “‘Uye ndichaita kuti nyika ive dongo,+ nekuti vakaratidza kuti havana kutendeka,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

16 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, zivisa Jerusarema mabasa aro anosemesa.+ 3 Uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kuJerusarema: “Unobva kunyika yeKenani uye ndiko kwawakaberekerwa. Baba vako vaiva muAmori,+ uye amai vako vaiva muHiti.+ 4 Pazuva rawakaberekwa, rukuvhute rwako haruna kuchekwa, hauna kugezeswa nemvura kuti uchene, hauna kukwizwa munyu, uye hauna kuputirwa nemachira. 5 Hapana akasiririswa newe kuti akuitire chimwe chezvinhu izvi. Hapana akakunzwira tsitsi. Asi wakaraswa musango nekuti waivengwa pazuva rawakaberekwa.

6 “‘“Pandakapfuura nepauri ndakakuona uchikava-kava uri muropa rako, uye pawainge wakarara muropa rako imomo ndakati kwauri: ‘Ramba uchirarama!’ Chokwadi pawainge wakarara muropa rako ndakati kwauri: ‘Ramba uchirarama!’ 7 Ndakaita kuti uve nevana vakawanda sezvinomera musango, uye wakakura, ukava munhu akasvika, ukapfeka zvishongo zvakanaka kwazvo. Mazamu ako akakura, uye bvudzi rako rakakura; asi wakanga usati wapfeka, uchakashama.”’

8 “‘Pandakakuona ndichipfuura, ndakaona kuti wakanga wava pazera rekukwanisa kuratidzwa rudo. Saka ndakakufukidza nenguo yangu,+ ndikavhara muviri wako wakanga wakashama, ndikaita mhiko uye ndikaita sungano newe,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘uye wakava wangu. 9 Uyezve, ndakakugeza nemvura, ndikageza ropa rako, ndikakuzora mafuta.+ 10 Ndakabva ndakupfekedza nguo yakamendwa, ndikakupa shangu dzedehwe rakapfava,* ndikakumonera jira rakanaka, ndikakupfekedza nguo dzinodhura. 11 Ndakakupfekedza zvishongo, ndikakuisa zvishongo mumaoko uye chishongo chemuhuro. 12 Ndakaisawo mhete pamhino yako nemhete panzeve dzako nekorona yakanaka mumusoro mako. 13 Wakaramba uchizvishongedza negoridhe nesirivha, uye nguo dzako dzaiva dzejira rakanaka, nejira rinodhura, nenguo yakamendwa. Waidya furawa yakatsetseka, neuchi, nemafuta, uye wakapedzisira wava nerunako runonwisa mvura,+ uye wakanga wava kukodzera kuva mambokadzi.’”

14 “‘Mukurumbira wako wakatanga kuenda kune mamwe marudzi+ nekuda kwerunako rwako, nekuti wakanga usina kana chinoshoreka nekuda kwekubwinya kwangu kwandakaisa pauri,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

15 “‘Asi wakatanga kuvimba nerunako rwako,+ ukava pfambi nemhaka yemukurumbira wako.+ Wakaita chipfambi chisingaiti nemunhu wese aipfuura,+ uye vaiita zvavanoda newe. 16 Wakatora dzimwe nguo dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira dzawaiitira upfambi.+ Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika; hazvifaniri kumbofa zvaitika. 17 Wakatorawo zvishongo zvako zvakanaka zvakagadzirwa negoridhe nesirivha yandakakupa uye wakazvigadzirira mifananidzo yevanhurume, ukaita upfambi nayo.+ 18 Wakatora nguo dzako dzakamendwa ukaifukidza, uye wakaipa mafuta angu nerusenzi yangu.+ 19 Uye chingwa chandakakupa kuti udye, chakabikwa nefurawa yakatsetseka, nemafuta, neuchi, wakachipawo mifananidzo yacho kuti inzwe kunhuhwirira kwakanaka.*+ Ndizvo chaizvo zvakaitika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

20 “‘Wakatora vanakomana vako nevanasikana vako vawakanga wandiberekera,+ uye wakavabayira kuzvidhori kuti vaparadzwe.+ Upfambi hwauri kuita hahusati hwakwana here? 21 Wakauraya vanakomana vangu, uye wakavapa sezvibayiro uchiita kuti vapfuure nemumoto.+ 22 Pawaiita zvinhu zvako zvese zvinosemesa nemabasa ako eupfambi, hauna kuyeuka mazuva awaiva mudiki, pawakanga usina kupfeka, wakashama, uchikava-kava uri muropa rako. 23 Uchaona nhamo, uchaona nhamo nemhaka yezvakaipa zvese zvawakaita,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 24 ‘Wakazviunganidzira murwi wevhu, ukazvigadzirira nzvimbo dzakakwirira pamisika yese. 25 Wakavaka nzvimbo dzako dzakakwirira panzvimbo dzine mukurumbira chaizvo mumigwagwa yese, ukaita kuti runako rwako rupedzisire rwava kusemesa nekupa kwawakaita muviri wako kumunhu wese aipfuura,+ uye upfambi hwako hwakawedzera.+ 26 Wakaita upfambi nevanakomana veIjipiti,+ ivo vavakidzani vako vane ruchiva rusingaiti, uye wakandigumbura nechipfambi chako chisingaperi. 27 Iye zvino ndichakurova neruoko rwangu ndotapudza zvekudya zvaunowana,+ ndoita kuti vakadzi vanokuvenga vaite zvavanoda newe,+ ivo vanasikana vevaFiristiya, avo vakashamiswa chaizvo nemaitiro ako akafumuka.+

28 “‘Wakaitawo upfambi nevanakomana veAsiriya+ nekuti wakanga usina kugutswa, asi kunyange pawakaita upfambi navo, haunazve kugutswa. 29 Saka wakawedzera upfambi hwako nenyika yevanotengesa* uye nevaKadheya,+ asi kunyange ipapo hauna kugutswa. 30 Chokwadi mwoyo wako wairwara,’* ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘pawakaita zvinhu zvese izvi, uchiita sepfambi isina kana nyadzi!+ 31 Asi pawakaunganidza mirwi yako yevhu panzvimbo dzine mukurumbira chaizvo mumigwagwa yese, ukazvigadzirira nzvimbo dzakakwirira mumisika yese, hauna kuita sepfambi nekuti wakaramba kubhadharwa. 32 Uri mhombwe yemukadzi inotora vanhu vaisingazivi ichisiya murume wayo!+ 33 Vanhu vanopa pfambi chipo,+ asi iwe ndiwe wakatopa zvipo kune vese vaikuvhima kuti vaite chipfambi newe,+ uye unovabhadhara kuti vauye kuzoita upfambi newe vachibva kwese kwese.+ 34 Wakasiyana nevamwe vakadzi vanoita chipfambi. Hapana anoita upfambi hunenge hwako! Ndiwe unobhadhara vamwe, asi ivo havakubhadhari. Unoita zvakasiyana nevamwe.’

35 “Saka inzwa shoko raJehovha iwe pfambi.+ 36 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nekuti wakaratidza ruchiva rwako rwese, uye vanhu vakakuona usina kupfeka pawaiita upfambi hwako nevadiwa vako nezvidhori zvako zvese zvinosemesa,+ zvinonyangadza,* izvo zvawakatopa ropa revanakomana vako,+ 37 ndichaunganidza vaya vese vanokuda, vawakafadza, vaya vese vawaida pamwe chete nevaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kuti vakurwise vachibva kwese kwese, ndoita kuti vakuone usina kupfeka, vokuona wakashama.+

38 “‘Ndichakuranga nemitongo inofanira kupiwa mhombwekadzi nevakadzi+ vanodeura ropa,+ uye ropa rako richadeurwa nehasha uye negodo.+ 39 Ndichakuisa mumaoko avo, uye vachaputsa mirwi yako yevhu, uye nzvimbo dzako dzakakwirira dzichaparadzwa;+ uye vachakubvisa nguo dzako,+ votora zvishongo zvako zvakanaka,+ vokusiya usina kupfeka, wakashama. 40 Vachauya kwauri nevanhu vazhinji,+ uye vachakutema nematombo,+ vokuuraya nemapakatwa avo.+ 41 Vachapisa dzimba dzako nemoto+ vokuitira zvawakatongerwa, vakadzi vazhinji vachiona; uye ndichapedza upfambi hwako,+ uye ucharega zvekubhadhara vanhu. 42 Ndichakuratidza hasha dzangu dzese,+ uye kukutsamwira kwandakaita kuchapera;+ uye ndichasara ndagadzikana ndisisina kugumbuka.’

43 “‘Nekuti hauna kuyeuka mazuva awaiva mudiki,+ uye wakanditsamwisa nezvinhu zvese izvi zvawakaita, ndichaita kuti utambure nezvawakaita,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘uye hauzoendereri nemaitiro ako akafumuka nemabasa ako ese anosemesa.

44 “‘Inzwa! Munhu wese anotaura zvirevo, achataura chirevo ichi nezvako: “Mwanasikana naamai zvakangofanana!”+ 45 Wakangoita saamai vako, avo vakazvidza murume wavo uye vana vavo. Wakangoitawo sevamwe vana vaamai vako, avo vakazvidza varume vavo uye vana vavo. Amai venyu vaiva muHiti, uye baba venyu vaiva muAmori.’”+

46 “‘Mukoma wako iSamariya,+ uyo anogara kuchamhembe kwako* nevanasikana vake,*+ uye munin’ina wako uyo anogara kumaodzanyemba kwako,* iSodhomu+ nevanasikana vake.+ 47 Hauna kungogumira pakufamba munzira dzavo chete kana pakutevera mabasa avo anosemesa, asi pasina kana nguva, zvawaiita zvakatowedzera kuipa, uchitopfuura zvavaiita.+ 48 Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘munin’ina wako Sodhomu nevanasikana vake havana kuita sezvawakaita iwe nevanasikana vako. 49 Inzwa! Iyi ndiyo mhosva yemunin’ina wako Sodhomu: Iye nevanasikana+ vake vaizvikudza+ uye vaiva nezvekudya zvakawanda,+ vakagarika, vasina kana chinovanetsa;+ asi havana kubatsira vanotambudzika uye varombo.+ 50 Vakaramba vachizvikudza+ uye vakaita zvinhu zvinosemesa pamberi pangu,+ saka ndakaona zvakakodzera kuti ndivabvise.+

51 “‘Kunyange Samariya+ haina kutadza zvinosvika pahafu yezvivi zvako. Mabasa ako anosemesa akaramba achiwanda kupfuura avo, zvekuti vanasikana vaamai vako vakapedzisira vava kuita sevakarurama nekuda kwemabasa ako ese anosemesa.+ 52 Iye zvino uchanyara nekuti wakapembedza* zvaiitwa nemukoma nemunin’ina wako. Nemhaka yechivi chako chekuita zvinosemesa kuvapfuura, ivo vakarurama kukupfuura. Saka nyara ushaye pekupinda nekuti wakaita kuti mukoma wako nemunin’ina wako vaite sevakarurama.’

53 “‘Uye ndichaunganidza nhapwa dzavo, idzo nhapwa dzeSodhomu nevanasikana vayo, nenhapwa dzeSamariya nevanasikana vayo; ndichaunganidzawo nhapwa dzako pamwe chete navo+ 54 kuti unyare; uye uchanyara nemhaka yekuvanyaradza kwawakaita. 55 Vana vaamai vako, Sodhomu nevanasikana vayo, vachaita sezvavaiva pakutanga, uye Samariya nevanasikana vayo vachaita sezvavaiva pakutanga, uye iwe nevanasikana vako muchaita sezvamaiva pakutanga.+ 56 Waiona sekuti hazvikodzeri kuti utaure nezvemunin’ina wako Sodhomu pazuva rekuzvikudza kwako, 57 iwe wacho pawakanga usati wafumurwa kuipa kwako.+ Iye zvino vanasikana veSiriya nevavakidzani vayo vava kukuseka, uye vanasikana vevaFiristiya,+ avo vari kumativi ako ese, vari kukuzvidza. 58 Uchatambura nemaitiro ako akafumuka nemabasa ako anosemesa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

59 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichakuitirawo zvawakaita,+ nekuti wakazvidza mhiko pawakaputsa sungano yangu.+ 60 Asi ndichayeuka sungano yandakaita newe pawaiva mudiki, uye ndichaita sungano newe inogara nekusingaperi.+ 61 Uchayeuka maitiro ako, uye uchanyara+ pauchagamuchira vakoma vako nevanin’ina vako, uye ndichakupa kuti vave vanasikana vako, asi kwete nekuda kwesungano yako.’

62 “‘Uye ndichaita sungano yangu newe; uye uchaziva kuti ndini Jehovha. 63 Uchabva wayeuka uye uchanyara chaizvo zvekutadza kushama muromo wako nemhaka yenyadzi dzako,+ pandichakuregerera pasinei nezvese zvawakaita,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

17 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, taura chirahwe uye taura chirevo pamusoro peimba yaIsraeri.+ 3 Unofanira kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Gondo guru,+ raiva nemapapiro mahombe, neminhenga mirefu, riine mambava mazhinji, aiva nemavara anoyevedza, rakauya kuRebhanoni,+ rikadimbura nhungirwa pamusorosoro pemusidhari.+ 4 Rakatanha nhungirwa yawo yepamusorosoro rikaiendesa kunyika yevanotengesa* rikaidyara muguta revanotengesa.+ 5 Rakabva ratora imwe mbeu yenyika yacho,+ rikaiisa mumunda wakaorera. Rakaidyara kuti ikure semushambangwena uri pane mvura zhinji. 6 Saka yakamera, ikazova muzambiringa mupfupi+ unotanda chaizvo uye une mashizha akatarisa mukati, midzi yawo ichikurawo pasi pawo. Yakava muzambiringa, uyo wakatungira ukava nemapazi.+

7 “‘“Pakabva pauyawo rimwe gondo guru,+ raiva nemapapiro mahombe,+ neminhenga mihombe. Muzambiringa uyu wakabva waritambanudzira midzi yawo nechido, ichibva pamihomba yemumunda mawakanga wadyarwa, uye wakaendesa mashizha awo kwariri kuti riudiridze.+ 8 Asi iwo wainge watosimwa kare mumunda wakanaka, pedyo nemvura zhinji, kuti ubudise mapazi, ubereke, uye kuti uve muzambiringa unoyevedza.”’+

9 “Iti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Iwo uchava neutano here? Mumwe munhu haazodzuri midzi yawo,+ oita kuti michero yawo iore uye kuti nhungirwa dzawo dzisvave here?+ Uchaoma zvekuti hapazodi ruoko rune simba kana vanhu vakawanda kuti vaudzure. 10 Wakadzurwa ukadyarwazve, asi uchava neutano here? Hauzoomi wese here paunorohwa nemhepo yekumabvazuva? Uchaomera pamuhomba wemumunda wawakadyarwa.”’”

11 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 12 “Ndapota, udza imba inopanduka kuti, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Iti, ‘Inzwai! Mambo weBhabhironi akauya kuJerusarema, akatora mambo waro nemachinda aro, akaenda navo kuBhabhironi.+ 13 Akatorawo mwana* wemuimba yeumambo,+ akaita sungano naye, akaita kuti apike.+ Akabva aenda nevarume vakakurumbira vemunyika yacho,+ 14 kuti umambo hushaye simba, husazosimuka, uye kuti hungoramba huripo chete kana vachengeta sungano yake.+ 15 Asi mambo akazomupandukira+ nekutuma kwaakaita nhume dzake kuIjipiti, kuti apiwe mabhiza+ neuto guru.+ Achabudirira here? Munhu ari kuita zvinhu izvi haazorangwi here? Angapukunyuka here iye aputsa sungano?’+

16 “‘“Neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, “achafira muBhabhironi, munzvimbo inogarwa namambo* akamugadza* paumambo, ane mhiko yaasina kuchengeta uye sungano yaakaputsa.+ 17 Uye uto guru raFarao nevarwi vake vazhinji havana chavachazobatsira muhondo,+ pachaunganidzwa mirwi yevhu yekukomba guta uye pachavakwa masvingo ekurikomba, kuti vauraye vanhu vazhinji. 18 Akazvidza mhiko uye akaputsa sungano. Kunyange zvazvo akaita vimbiso, akaita zvinhu zvese izvi uye haazopukunyuki.”’

19 “‘Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Neupenyu hwangu, ndichaita kuti atambure nekuzvidza kwaakaita mhiko+ yangu uye kuputsa kwaakaita sungano yangu. 20 Ndichawaridza mambure angu pamusoro pake, uye achabatwa nemambure angu ekuvhimisa.+ Ndichamuendesa kuBhabhironi, ndomutonga ikoko nemhaka yekusatendeka kwake kwandiri.+ 21 Mauto ake ese anenge apotera achaurayiwa nebakatwa, uye anosara achaparadzirwa kwese kwese.+ Muchabva maziva kuti ini Jehovha ndataura.”’+

22 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatora nhungirwa pamusoro pemusidhari murefu ndoidyara,+ uye ndichatanha nhungirwa ichangotungira pamusoro pematavi awo+ ndoisima mugomo refu refu.+ 23 Ndichaisima mugomo refu reIsraeri; uye mapazi awo achakura, uye uchabereka wova musidhari unoyevedza. Uye shiri dzemarudzi ese dzichagara pasi pawo, mumumvuri wemashizha awo. 24 Miti yese yesango ichaziva kuti ini Jehovha ndaderedza muti murefu, ndikakwidziridza muti mupfupi;+ ndaomesa muti wakasvibirira ndikaita kuti muti wakaoma utumbuke.+ Ini Jehovha, ndazvitaura uye ndazviita.”’”

18 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Munorevei nechirevo ichi chamuri kutaura munyika yeIsraeri muchiti, ‘Vanababa vakadya mazambiringa anovava, asi mazino evanakomana ndiwo ari kuita ugugu’?+

3 “‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘hamuzorambi muchitaura chirevo ichi muIsraeri. 4 Inzwai! Mweya yese ndeyangu.* Mweya wababa nemweya wemwanakomana ndeyangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.*

5 “‘Ngatitii pane munhu akarurama, anoita zvakanaka uye zvakarurama. 6 Haadyi zvinhu zvakabayirwa kuzvidhori mumakomo;+ haavimbi nezvidhori zvinosemesa* zveimba yaIsraeri; haaiti upombwe nemudzimai wemunhu*+ kana kurara nemukadzi ari kumwedzi;+ 7 haana waanoitira utsinye,+ asi anodzorera chaakabatiswa newaakakweretesa;+ haabiri munhu,+ asi anopa zvekudya zvake kumunhu ane nzara+ uye anopa nguo kumunhu asina zvekupfeka;+ 8 haabhadharisi mubereko kana kuita zvechimbadzo,+ haaiti zvisina kururama;+ anotonga nyaya iri pakati pevanhu zvakarurama;+ 9 uye anoramba achifamba mumirau yangu achiita maererano nemitongo yangu achiratidza kuti akatendeka. Munhu iyeye akarurama uye acharamba achirarama,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

10 “‘Asi ngatitii ane mwanakomana gororo+ kana mhondi*+ kana anoita chimwe chinhu chakafanana neizvi 11 (kunyange zvazvo baba vacho vasina kuita chimwe chezvinhu izvi), anodya zvakabayirwa kuzvidhori mumakomo, anoita unzenza nemudzimai wemunhu, 12 anoitira utsinye vanhu vanotambura nevarombo,+ anotora zvinhu neugororo, haadzoreri chibatiso, anovimba nezvidhori zvinosemesa,+ anoita mabasa anosemesa,+ 13 anoita zvechimbadzo uye anobhadharisa mubereko.+ Mwanakomana iyeye haazorambi achirarama. Achaurayiwa nemhaka yezvinhu zvese izvi zvinosemesa zvaakaita. Ndiye anenge azviurayisa.

14 “‘Asi ngatitii pana baba vane mwanakomana anoona zvivi zvese zvinoitwa nababa vake, asi kunyange azviona, haaiti zvinhu izvozvo. 15 Haadyi zvinhu zvakabayirwa kuzvidhori mumakomo; haavimbi nezvidhori zvinosemesa zveimba yaIsraeri; haaiti unzenza nemudzimai wemunhu; 16 haana waanoitira utsinye; haarambi kudzorera chibatiso; haatori chinhu neugororo; anopa zvekudya zvake kumunhu ane nzara uye anopa nguo kumunhu asina zvekupfeka; 17 haadzvinyiriri varombo; haaiti zvechimbadzo kana kubhadharisa mubereko; anoita maererano nemitongo yangu uye anofamba mumirau yangu. Munhu iyeye haazofiri mhosva yababa vake. Acharamba achirarama. 18 Asi nemhaka yekuti baba vake vaibiridzira, vakabira hama yavo, uye vakaita zvakaipa pakati pevanhu vekwavo, vachafira mhosva yavo.

19 “‘Asi muchati: “Nei mwanakomana asingapiwi mhosva yababa vake?” Mwanakomana wacho akaita zvakanaka uye zvakarurama, achichengeta mirau yangu yese achiiteerera, saka acharamba achirarama.+ 20 Mweya unotadza ndiwo uchafa.*+ Mwanakomana haazovi nemhosva yekukanganisa kwababa vake, uye baba havazovi nemhosva yekukanganisa kwemwanakomana wavo. Munhu akarurama achaitirwa zvinoenderana nekururama kwake, uye munhu akaipa achatongerwa mhosva yake.+

21 “‘Zvino kana munhu akaipa akasiya zvivi zvake zvese, akachengeta mirau yangu, oita zvakanaka uye zvakarurama, acharamba achirarama. Haazofi.+ 22 Haazotongerwi zvakaipa zvaakaita.*+ Acharamba achirarama nekuti akaita zvakarurama.’+

23 “‘Ko ini ndinombofarira rufu rwemunhu akaipa here?’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Handidi here kuti atendeuke panzira dzake, oramba achirarama?’+

24 “‘Asi kana munhu akarurama akarega kuita zvakarurama, oita zvakaipa, achiita zvinhu zvese zvinosemesa zvinoitwa nevakaipa, achararama here? Mabasa ese akarurama aakaita haazoyeukwi.+ Achafira kusatendeka kwake nechivi chake.+

25 “‘Asi muchati: “Nzira yaJehovha haina kururama.”+ Ndapota inzwai, imi imba yaIsraeri! Nzira yangu ndiyo isina kururama here?+ Nzira dzenyu hadzisi idzo dzisina kururama here?+

26 “‘Kana munhu akarurama akarega kuita zvakarurama, oita zvakaipa, ofira izvozvo, anenge afira zvivi zvake.

27 “‘Uye kana munhu akaipa akasiya zvakaipa zvake, otanga kuita zvakanaka uye zvakarurama, achazviponesa.*+ 28 Paanoona kuti akatadza, osiya zvakaipa zvake zvese, acharamba achirarama. Haazofi.

29 “‘Asi imba yaIsraeri ichati: “Nzira yaJehovha haina kururama.” Imi imba yaIsraeri, nzira dzangu ndidzo dzisina kururama here?+ Nzira dzenyu hadzisi idzo dzisina kururama here?’

30 “‘Saka ndichatonga mumwe nemumwe wenyu maererano nenzira dzake,+ imi vanhu veimba yaIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Siyai zvakaipa zvenyu, chokwadi siyai zvachose zvakaipa zvenyu zvese, kuti musava nemhosva. 31 Siyai zvakaipa zvenyu zvese,+ mova nemwoyo mutsva nepfungwa itsva,+ mungadirei kufa,+ imi imba yaIsraeri?’

32 “‘Handitombofariri kufa kwemunhu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Saka siyai zvakaipa murarame.’”+

19 “Unofanira kuimba rwiyo rwekuchema machinda* eIsraeri 2 uchiti,

‘Amai vako vaiva chii? Vaiva shumba hadzi yaiva pakati pedzimwe shumba.

Yairara pakati peshumba dzine simba* uye yairera vana vayo.

 3 Yakarera mumwe mwana wayo kusvika akura, uye akava shumba ine simba.+

Akadzidza kubvambura mhuka,

Akatodyawo vanhu.

 4 Marudzi akanzwa nezvake uye akamubata mugomba rawo,

Akamuendesa kunyika yeIjipiti achishandisa zvirauro.+

 5 Amai vacho vakamirira kusvika vaona kuti hapachina tariro yekuti achadzoka.

Saka vakatora mumwe mwana wavo vakamutuma uye aiva shumba ine simba.

 6 Akafambawo nedzimwe shumba uye akava shumba ine simba.

Akadzidza kubvambura mhuka, uye akatodya vanhu.+

 7 Akafamba-famba mushongwe dzavo dzakavakwa zvakasimba akaparadza maguta avo,

Zvekuti kuomba kwake kwainzwika munyika yese yainge yava dongo.+

 8 Marudzi emumatunhu akapoteredza akauya kuzorwa naye, akatambanudzira mambure awo pamusoro pake,

Uye akamubata mugomba rawo.

 9 Akamukochekera nezvirauro akamuisa muchizarira, akaenda naye kuna mambo weBhabhironi.

Ava ikoko, akamuvharira kuti inzwi rake risanzwikazve mumakomo eIsraeri.

10 Amai vako vakanga vakafanana nemuzambiringa+ uri muropa rako,* wakadyarwa pane mvura.

Wakabereka, uye waiva nemapazi akawanda nekuti waiwana mvura yakawanda.

11 Wakava nemapazi akasimba, anokwanisa kugadziriswa tsvimbo dzevatongi.

Wakakura ukareba kupfuura mimwe miti,

Uye waioneka nekuti wakanga wakareba, uine mashizha akawanda.

12 Asi amai vako vakazodzurwa+ nehasha vakakandwa pasi,

Uye mhepo yekumabvazuva yakaomesa michero yavo.

Mapazi avo akasimba akatyorwa, akaoma,+ akapiswa nemoto.+

13 Iye zvino vakadyarwa murenje,

Munyika isina mvura uye yakaoma.+

14 Pamapazi avo pakabva moto ukaparadza nhungirwa dzavo nemichero yavo,

Uye hapana bazi rakasimba rakasara, hapana tsvimbo yeumambo yakasara.+

“‘Urwu ndirwo rwiyo rwekuchema, uye ruchaimbwa nevanhu vanenge vachichema.’”

20 Mugore rechi7, mumwedzi wechi5, pazuva rechi10 remwedzi wacho, vamwe vakuru vaIsraeri vakauya vakagara pamberi pangu kuti vabvunze Jehovha. 2 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 3 “Mwanakomana wemunhu, taura nevakuru vaIsraeri, uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Mauya kuzondibvunza here? ‘Neupenyu hwangu, handisi kuzokupindurai,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’

4 “Wagadzirira kuvatonga* here? Wagadzirira kuvatonga here, mwanakomana wemunhu? Vaudze zvinhu zvinosemesa zvakaitwa nemadzitateguru avo.+ 5 Vaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zuva randakasarudza Israeri,+ ndakapikawo* kuvana* veimba yaJakobho uye ndakaita kuti vandizive munyika yeIjipiti.+ Chokwadi ndakapika kwavari, ndikati, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ 6 Zuva iroro ndakapika kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndichivaendesa kunyika yandakavatsvagira, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Yaiva nyika yakanaka kupfuura dzimwe dzese.* 7 Ndakabva ndati kwavari, ‘Mumwe nemumwe wenyu anofanira kurasa zvinhu zvinosemesa zvamuri kushumira; musazvisvibisa nezvidhori zvinosemesa* zveIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’+

8 “‘“Asi vakandipandukira uye vakaramba kunditeerera. Havana kurasa zvinhu zvavo zvinosemesa, uye havana kuda kusiya zvidhori zvinosemesa zveIjipiti.+ Saka ndakavataurira kuti ndichadururira hasha dzangu pavari uye kuti ndichavatsamwira chaizvo munyika yeIjipiti. 9 Zvisinei, ndakazviitira kuti zita rangu rirege kuzvidzwa nemarudzi avaigara nawo.+ Nekuti ndakaita kuti vandizive pamberi pemarudzi acho pandakavabudisa munyika yeIjipiti.+ 10 Saka ndakavabudisa munyika yeIjipiti, ndikavaendesa murenje.+

11 “‘“Ndakabva ndavapa mirau yangu uye ndakavazivisa mitongo yangu,+ kuitira kuti munhu anoitevera ararame.+ 12 Ndakavapawo masabata angu+ kuti ave chiratidzo pakati pangu navo,+ kuti vazive kuti ini Jehovha ndini ndiri kuvatsvenesa.

13 “‘“Asi imba yaIsraeri yakandipandukira murenje.+ Havana kufamba mumirau yangu, uye vakaramba mitongo yangu, iyo inoita kuti munhu anoitevera ararame. Vakasvibisa masabata angu kusvika pekupedzisira. Saka ndakavataurira murenje kuti ndichavadururira hasha dzangu kuti ndivaparadze.+ 14 Asi ndakazviitira kuti zita rangu rirege kuzvidzwa nemarudzi akaona ndichivabudisa.+ 15 Ndakapikawo kwavari murenje kuti ndaisazovapinza munyika yandakanga ndavapa,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ yakanaka kupfuura dzese, 16 nekuti vakaramba mitongo yangu, havana kufamba mumirau yangu, uye vakasvibisa masabata angu, nekuti mwoyo yavo yaitevera zvidhori zvavo zvinosemesa.+

17 “‘“Asi ndakavanzwira* tsitsi uye handina kuvaparadza. Handina kuvapedza murenje. 18 Ndakati kuvanakomana vavo murenje,+ ‘Regai kufamba mumirau yemadzitateguru enyu+ kana kuchengeta mitongo yavo kana kuzvisvibisa nezvidhori zvavo zvinosemesa. 19 Ndini Jehovha Mwari wenyu. Fambai mumirau yangu, uye chengetai mitongo yangu muiite.+ 20 Tsvenesai masabata angu,+ uye achava chiratidzo pakati pangu nemi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’+

21 “‘“Asi vanakomana vacho vakatanga kundipandukira.+ Havana kufamba mumirau yangu uye havana kuchengeta mitongo yangu kana kuiteerera, iyo inoita kuti munhu anoitevera ararame. Vakasvibisa masabata angu. Saka ndakataura kuti ndichavatsamwira chaizvo murenje uye ndichavadururira hasha dzangu.+ 22 Asi ndakarega kuita izvozvo,+ uye ndakaita zvinochengetedza zita rangu,+ kuti risazvidzwa nemarudzi akaona ndichivabudisa. 23 Ndakapikawo kwavari murenje kuti ndichavaparadzira kune mamwe marudzi uye ndichaita kuti vapararire nenyika,+ 24 nekuti havana kutevera mitongo yangu uye vakaramba mirau yangu,+ vakasvibisa masabata angu, uye vakatevera zvidhori zvinosemesa zvemadzitateguru avo.+ 25 Ndakavaregawo vachitevera mirau isina kunaka, nemitongo inourayisa.+ 26 Pavaiita kuti matangwe avo ese apfuure nemumoto, ndakavarega vachisvibiswa nezvibayiro zvavo kuti ndivaparadze,+ vobva vaziva kuti ndini Jehovha.”’

27 “Saka iwe mwanakomana wemunhu taura neimba yaIsraeri uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Madzitateguru enyu akandizvidzawo saizvozvo, achiita zvisina kutendeka pamberi pangu. 28 Ndakavapinza munyika yandakapika kuti ndichavapa.+ Pavakaona zvikomo zvese zvakakwirira nemiti yese ine mashizha akawanda,+ vakatanga kupa zvibayiro zvavo nemipiro yavo inotsamwisa. Vakapa zvibayiro zvinonhuhwirira* uye vakadurura mipiro yavo yezvinwiwa vari munzvimbo idzodzo. 29 Saka ndakavabvunza kuti, ‘Munoenderei kunzvimbo yakakwirira? (Nanhasi ichiri kunzi Nzvimbo Yakakwirira.)’”’+

30 “Zvino iti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Mava kuzvisvibisa sezvakaitwa nemadzitateguru enyu here nekutevera kwamuri kuita zvidhori zvavo zvinosemesa kuti muite unzenza hwekunamata nazvo?+ 31 Uye nanhasi muchiri kungoramba muchizvisvibisa here, muchipa zvibayiro kuzvidhori zvenyu zvese zvinosemesa, muchiita kuti vanakomana venyu vapfuure nemumoto?+ Munofunga kuti ndingakupindurai here nezvamuri kuita izvozvo, imi imba yaIsraeri?”’+

“‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘Handisi kuzokupindurai.+ 32 Zvamunofunga mupfungwa dzenyu muchiti, “Ngatiitei semamwe marudzi, semhuri dzekune dzimwe nyika dzinonamata* matanda nematombo,” hazvisi kuzomboitika.’”+

33 “‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndichava mambo wenyu ndichikutongai neruoko rune simba uye rwakatambanudzwa, ndakakutsamwirai zvikuru.+ 34 Ndichakubvisai pakati pemarudzi, ndokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga mapararira kwadziri ndichishandisa ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa, ndakatsamwa zvikuru.+ 35 Ndichakuendesai murenje remarudzi, ndokutongai imomo takatarisana.+

36 “‘Ndichakutongai sekutonga kwandakaita madzitateguru enyu murenje renyika yeIjipiti,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 37 ‘Ndichaita kuti mupfuure nepasi petsvimbo yemufudzi,+ ndoita kuti muve pasi pesungano yacho. 38 Asi ndichabvisa vapanduki vari pakati penyu nevaya vanonditadzira.+ Nekuti ndichavabudisa munyika isiri yavo yavari kugara, asi havazopindi munyika yeIsraeri;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’

39 “Asi kana muri imi imba yaIsraeri, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Mumwe nemumwe wenyu ngaaende kunoshumira zvidhori zvake zvinosemesa.+ Asi kana maita izvozvo, ndichakurambai zvoita kuti musasvibisazve zita rangu dzvene nezvibayiro zvenyu nezvidhori zvenyu zvinosemesa.’+

40 “‘Nekuti mugomo rangu dzvene, gomo refu reIsraeri,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndimo mandichashumirwa nevanhu veimba yese yaIsraeri, vese zvavo vari munyika yacho.+ Ndichakufarirai uye ndichada kuti mundipe zvipo zvenyu imomo nemipiro yenyu yakanakisisa, zvinhu zvenyu zvese zvitsvene.+ 41 Kunhuhwirira kwemipiro yacho kuchaita kuti ndikufarirei panguva yandichakubvisai pakati pemarudzi, ndokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga maparadzirwa;+ uye ndichatsveneswa pakati penyu, mamwe marudzi ese akatarisa.’+

42 “‘Muchaziva kuti ndini Jehovha,+ pandichakuendesai kunyika yeIsraeri,+ nyika yandakapika kuti ndichapa madzitateguru enyu. 43 Mava ikoko, muchayeuka maitiro enyu nemabasa enyu ese amakazvisvibisa nawo,+ uye muchazvisema* nemhaka yezvakaipa zvamakaita.+ 44 Muchabva maziva kuti ndini Jehovha pandichakuitirai zvakanaka ndichifunga nezvezita rangu,+ kwete nzira dzenyu dzakaipa kana mabasa enyu akaora, imi imba yaIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

45 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 46 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kumaodzanyemba uzivise shoko ikoko, uye profita kusango renyika yekumaodzanyemba. 47 Iti kusango rekumaodzanyemba, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kubatidza moto kuti ukupise,+ uye uchaparadza miti yese yakasvibirira, nemiti yako yese yakaoma. Rimi racho harizodzimwi,+ uye richapisa zviso zvese, kubva kumaodzanyemba kusvika kuchamhembe. 48 Vanhu vese vachaona kuti ini, Jehovha, ndini ndaribatidza, kuti risadzimwa.”’”+

49 Zvino ndakati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Vari kuti nezvangu, ‘Haasi kungotaura zvirahwe* here?’”

21 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuJerusarema, utaure mashoko ekutonga nzvimbo tsvene, uye profita nezvenyika yeIsraeri. 3 Iti kunyika yeIsraeri, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kukurwisa, uye ndichabudisa bakatwa rangu mumuhara,+ ndoparadza munhu akarurama nemunhu akaipa mauri. 4 Nemhaka yekuti ndichaparadza munhu akarurama nemunhu akaipa mauri, bakatwa rangu richabudiswa mumuhara kuti rirwe nevanhu vese kubva kumaodzanyemba kusvika kuchamhembe. 5 Vanhu vese vachaziva kuti ini, Jehovha, ndabudisa bakatwa rangu mumuhara. Harichazodzokeri imomo.”’+

6 “Uye iwe mwanakomana wemunhu, gomera uchidedera.* Gomera nekurwadziwa ivo vakatarisa.+ 7 Kana vakati kwauri, ‘Uri kugomera nei?’ iwe uti, ‘Nemashoko.’ Nekuti achatouya, uye mwoyo yese ichapera nekutya, maoko ese achati regwede, munhu wese achasuruvara, mabvi ese achadonha mvura.*+ ‘Inzwai! Achatouya uye achaitika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

8 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 9 “Mwanakomana wemunhu, profita, uti, ‘Zvanzi naJehovha: “Iti, ‘Bakatwa! Bakatwa+ rarodzwa, uye rapenyeswa. 10 Rarodzerwa kuti riuraye zvikuru; rakweshwa kuti ripenye semheni.’”’”

“Tingarega kupembera nemufaro here?”

“‘Richaramba tsvimbo yeumambo yemwanakomana wangu here,+ sezvarinoita miti yese?

11 “‘Pane aripiwa kuti ripenyeswe uye kuti rishandiswe kuuraya vanhu. Bakatwa iri rarodzwa uye rapenyeswa kuti ripiwe munhu ane basa rekuuraya.+

12 “‘Chema uye ridza mhere+ iwe mwanakomana wemunhu, nekuti rauya kuzorwisa vanhu vangu; richarwisa machinda ese eIsraeri.+ Achaurayiwa nebakatwa pamwe chete nevanhu vangu. Saka zvirove pachidya uchinetseka. 13 Zvapaine ongororo yaitwa,+ chii chichaitika kana bakatwa rikaramba tsvimbo yeumambo? Tsvimbo yacho haizorambi iripo,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

14 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, profita uombere uye taura katatu kuti ‘Bakatwa!’ Vakakombwa nebakatwa rinoparadza, bakatwa rinouraya zvikuru.+ 15 Mwoyo yavo ichapera nekutya+ uye pachava nevakawanda vachawira pamagedhi avo; ndichauraya vakawanda nebakatwa. Riri kupenya semheni uye rakapenyeswa kuti riuraye! 16 Cheka uchienda kurudyi! Vheya wakananga kuruboshwe! Enda chero kwakatarisa mativi ako akapinza! 17 Iniwo ndichaombera, hasha dzangu dzopera.+ Ini Jehovha, ndataura.”

18 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 19 “Mwanakomana wemunhu, tara nzira mbiri dzichauya nebakatwa ramambo weBhabhironi. Dzese dziri mbiri dzichabva munyika imwe chete, uye panoparadzana mugwagwa wacho uchienda kumaguta maviri panofanira kuiswa chikwangwani. 20 Unofanira kutara nzira inouya nebakatwa kuzorwisa Rabha+ yevaAmoni, neimwe yekunorwisa Jerusarema+ riri muJudha, iro rakakomberedzwa nemasvingo. 21 Nekuti mambo weBhabhironi amira pamharadzano, panotangira nzira mbiri, kuti ashopere. Azunza miseve. Abvunza zvidhori zvake;* aongorora chiropa. 22 Kushopera kuri muruoko rwake rwerudyi kwanongedza kuJerusarema, kuti aise zvekugumurisa masvingo, kuti audze vanhu kuti vauraye, kuti vashevedzere zvinotyisa, kuti aise zvekugumurisa masvingo pamagedhi, kuti aunganidze murwi wekukomba nawo, kuti avake rusvingo rwekurwisa narwo.+ 23 Asi vaya* vakapika kwavari vachafunga kuti kunongova kufembera kwenhema.+ Asi iye anoyeuka mhosva yavo uye achavabata.+

24 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Maita kuti mhosva yenyu iyeukwe nekufumura kwamaita kukanganisa kwenyu, muchiita kuti zvivi zvenyu zvionekwe pane zvese zvamunoita. Iye zvino zvamayeukwa, muchatorwa nechisimba.’

25 “Asi zuva rako rasvika, iwe jinda rakaipa reIsraeri rakakuvadzwa zvakaipisisa,+ iyo nguva yekurangwa kwako kwekupedzisira. 26 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Bvisa ngowani, ubvise korona.+ Izvi hazvizorambi zvakadaro.+ Kwidziridza akaderera,+ uye deredza akakwirira.+ 27 Dongo, dongo, ndichaita umambo hwacho* dongo. Hapana achava muridzi wahwo kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika,+ uye ndiye wandichapa.’+

28 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, profita, uti, ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha pamusoro pevaAmoni uye pamusoro pekutuka kwavo.’ Vaudze kuti, ‘Bakatwa! Bakatwa ravhomorwa kuti riuraye; rapenyeswa kuti riparadze uye kuti ripenye semheni. 29 Pasinei nezviratidzo zvenhema uye kufembera kwenhema kuri kuitwa pamusoro penyu, muchaitwa murwi pamusoro pevanhu vakaurayiwa, ivo vanhu vakaipa vasvikirwa nezuva ravo, nguva yekurangwa kwavo kwekupedzisira. 30 Ridzorere mumuhara. Ndichakutongera munzvimbo yawakabva, munyika yawakaberekerwa. 31 Ndichadurura kutsamwa kwangu pauri. Ndichakufuridza nemoto wekushatirwa kwangu kukuru, uye ndichakuisa mumaoko evarume vane utsinye, nyanzvi dzekuparadza.+ 32 Uchava huni dzekuisa mumoto;+ ropa rako richadeurwa munyika yacho, uye hauzoyeukwizve, nekuti ini, Jehovha, ndazvitaura.’”

22 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, wagadzirira here kuudza guta rine mhosva yekudeura ropa+ mutongo waro, uye kurizivisa zvinhu zvaro zvese zvinosemesa?+ 3 Riudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Iwe guta rinodeura ropa+ revanhu varo, guta richasvikirwa nenguva yaro,+ uye rinogadzira zvidhori zvinosemesa* zvinorisvibisa,+ 4 une mhosva yekudeura ropa,+ uye zvidhori zvako zvinosemesa zvakusvibisa.+ Waita kuti kuguma kwako kukurumidze kusvika, uye makore ako asvika pamagumo. Ndokusaka ndichaita kuti uzvidzwe nemarudzi uye usekwe nenyika dzese.+ 5 Nyika dziri pedyo nedziya dziri kure newe dzichakuseka,+ iwe ane zita risina kuchena, uye azere nemheremhere. 6 Inzwa! Jinda rimwe nerimwe reIsraeri riri mauri rinoshandisa simba raro kuti rideure ropa.+ 7 Vanhu vako vanozvidza baba naamai.+ Vanobiridzira mutorwa, uye vanoitira nherera nechirikadzi utsinye.”’”+

8 “‘Unozvidza nzvimbo dzangu tsvene, uye unosvibisa masabata angu.+ 9 Une vanhu vanotaura mashoko anosvibisa mazita evamwe nechinangwa chekudeura ropa.+ Vanodya zvibayiro mumakomo uye vanoita zvinhu zvakafumuka.+ 10 Varume vari mauri vanorara nemukadzi* wababa vavo+ uye vanorara nemukadzi ari kumwedzi.+ 11 Mumwe anoita zvinhu zvinosemesa nemukadzi wemumwe wake,+ mumwe achiita zvakafumuka nemuroora wake achimusvibisa,+ mumwe achirara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake.+ 12 Vanhu vako vanopiwa chiokomuhomwe kuti vadeure ropa.+ Paunokweretesa unobhadharisa mubereko+ uchiita zvechimbadzo, uye unotorera vavakidzani vako mari nechisimba.+ Wandikanganwa zvachose,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

13 “‘Inzwa! Ndinoombera maoko angu ndichisemeswa nepfuma yawakawana uchibiridzira, uye nemabasa ekudeura ropa anoitwa mauri. 14 Ucharamba wakashinga uye maoko ako acharamba aine simba here pandichakurwisa?+ Ini, Jehovha, ndataura uye ndichazviita. 15 Ndichaita kuti muite rumwe rumwe pakati pemarudzi, ndoita kuti mupararire nenyika,+ uye ndichabvisa zvese zvisina kuchena pakati penyu.+ 16 Muchazvidzwa pamberi pemarudzi, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’”+

17 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 18 “Mwanakomana wemunhu, kwandiri imba yaIsraeri yaita setsvina isingabatsiri. Vese zvavo imhangura netini nesimbi nemutobvu zviri muchoto. Vaita setsvina yabviswa pasirivha.+

19 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kukuunganidzai muJerusarema,+ nekuti mese zvenyu mangofanana netsvina isingabatsiri. 20 Sezvinoita sirivha nemhangura nesimbi nemutobvu netini zvinoiswa muchoto, moto wopfutidzwa uchizvinyungudutsa, ndichakuunganidzaiwo ndakatsamwa uye ndiine hasha, uye ndichapfutidzira moto pamuri monyunguduka.+ 21 Ndichakuunganidzai ndokupfutidzirai moto wekutsamwa kwangu kukuru,+ uye muchanyungudukira imomo.+ 22 Muchanyungudutswa mariri sesirivha iri muchoto; uye muchaziva kuti ini, Jehovha, ndadurura hasha dzangu pamuri.’”

23 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 24 “Mwanakomana wemunhu, iti kuguta racho, ‘Uri nyika isingazocheneswi uye isingazonayi mvura pazuva rekutsamwa. 25 Vaprofita varo vakarangana imomo,+ vachiita seshumba iri kuomba ichibvambura mhuka yayabata.+ Vari kupedza vanhu. Vari kupamba pfuma nezvinhu zvinokosha. Vaita kuti chirikadzi dziwande mariri. 26 Vapristi varo vakatyora mutemo wangu,+ uye vanoramba vachisvibisa nzvimbo dzangu tsvene.+ Havasiyanisi chinhu chitsvene nezvimwe zvinhu,+ uye vanotadza kuudza vanhu chinhu chakachena nechisina kuchena,+ vanoramba kuchengeta masabata angu, uye ndiri kuzvidzwa pakati pavo. 27 Machinda aro akaita semhumhi dziri kubvambura mhuka; anodeura ropa achiuraya vanhu kuti awane pfuma nenzira dzakaipa.+ 28 Asi vaprofita varo vakadzurura mabasa awo nevhu jena. Vanoona zviratidzo zvisiri zvechokwadi uye vanofembera zvenhema,+ uye vanoti: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha,” iye Jehovha asina chaambotaura. 29 Vanhu vemunyika yacho vakabiridzira uye vakaita ugororo,+ vakaitira utsinye vanotambura nevarombo, vakabiridzira mutorwa uye havana kutonga nyaya yake zvakarurama.’

30 “‘Ndaitsvaga munhu angagadziridza rusvingo rwematombo pakati pavo kana angamira pakaputsika rusvingo achichengetedza nyika yacho kuti irege kuparadzwa,+ asi ndakamushaya. 31 Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pavari ndovaparadza nemoto wekutsamwa kwangu kukuru. Ndichavaranga zvinoenderana nenzira yavo,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

23 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, paiva nevakadzi vaviri vakaberekwa naamai vamwe chete.+ 3 Vakava pfambi kuIjipiti+ uye vakatanga chipfambi chacho vari vadiki. Mazamu avo akabatwa-batwa ikoko, uye zvipfuva zvepaumhandara hwavo zvakapuruzirwa ikoko. 4 Mukuru wacho ainzi Ohora* uye munin’ina wacho ainzi Ohoribha.* Vakava vangu, vakabereka vanakomana nevanasikana. Kana ari mazita avo, Ohora iSamariya,+ uye Ohoribha iJerusarema.

5 “Ohora akatanga kuita chipfambi paaiva wangu.+ Akachiva vaya vaimuda kwazvo,+ ivo vavakidzani vake vaAsiriya.+ 6 Vaiva magavhuna aipfeka zvebhuruu uye vatevedzeri vevatongi. Vese vaiva majaya akanaka, aiva pamabhiza awo. 7 Akaramba achiita upfambi nevanakomana vese veAsiriya vakanaka kwazvo, uye akazvisvibisa+ nezvidhori zvinosemesa* zvevaya vaaichiva. 8 Haana kurega upfambi hwaaiita kuIjipiti, nekuti vakanga varara naye achiri mudiki, uye vakapuruzira chipfuva chepaumhandara hwake uye vakapedzera shungu dzavo paari.*+ 9 Saka ndakamuisa mumaoko evaya vaimuda kwazvo, ivo vanakomana veAsiriya+ vaakanga achiva. 10 Vakamubvisa zvipfeko,+ vakatora vanakomana vake nevanasikana vake,+ uye vakamuuraya nebakatwa. Akaita mbiri yakaipa pakati pevamwe vakadzi, uye vakamuitira zvaakatongerwa.

11 “Munin’ina wake Ohoribha paakazviona, ruchiva rwake rwakabva rwatowedzera, uye akaita chipfambi chinopfuura chemukoma wake.+ 12 Akachiva vavakidzani vake ivo vanakomana veAsiriya,+ magavhuna nevatevedzeri vevatongi vainge vakapfeka zvakanaka kwazvo vari pamabhiza, vese vari majaya akanaka kwazvo. 13 Paakazvisvibisa, ndakaona kuti vakadzi vaviri ava vakafamba nenzira imwe chete.+ 14 Asi akaramba achiwedzera chipfambi chake. Akaona mifananidzo yevarume yakaita zvekutemerwa pamadziro, iyo mifananidzo yevaKadheya yaiva neruvara rutsvuku, 15 vakasunga mabhandi muchiuno, vakapfeka ngowani* hombe, vachiratidzika sevarwi, uye yese zvayo yaiva yevanhu vekuBhabhironi, vakaberekerwa munyika yevaKadheya. 16 Paakangoona mifananidzo yavo, akatanga kuvachiva, akatuma nhume kuvarume vacho vekuKadheya.+ 17 Saka vanakomana vekuBhabhironi vakaramba vachiuya pamubhedha wake vachirara naye, uye vakamusvibisa neruchiva rwavo.* Pavakanga vamusvibisa, akasemeswa navo akavasiya.

18 “Paakaramba achiita upfambi hwake asingatombonyari uye achiratidza vanhu muviri wake,+ ndakamusiya nekuti aindisemesa, sekusiya kwandakaita mukoma wake andisemesa.+ 19 Akaramba achiwedzera chipfambi chake+ achifunga mazuva aaiva mudiki, paaiita upfambi munyika yeIjipiti.+ 20 Akavachiva sezvinoita varongo* vevarume vane nhengo dzakaita sedzemadhongi uye vane nhengo dzakaita sedzemabhiza. 21 Mwoyo wako wakadokwairira zvinhu zvakafumuka zvawaiita uchiri mudiki kuIjipiti+ pavaibata-bata chipfuva chako, iwo mazamu epaudiki hwako.+

22 “Saka iwe Ohoribha, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kuita kuti upandukirwe nevadiwa vako+ vawakasema ukavasiya, uye ndichavaunza kuti vakurwise vachibva kwese kwese,+ 23 vanakomana vekuBhabhironi+ nevaKadheya vese,+ varume vekuPekodhi+ neShoa neKoa, pamwe chete nevanakomana vese veAsiriya. Vese zvavo majaya akanaka uye magavhuna nevatevedzeri vevatongi, varwi vakaita zvekusarudzwa, uye vese vari pamabhiza. 24 Vachakurwisa vaine ngoro zhinji dzehondo dzine ruzha, nemauto akawanda chaizvo, vaine nhoo huru nenhoo diki* nengowani. Vachakukomba kumativi ese uye ndichavapa mvumo yekukutonga, uye vachakupa mutongo wavanoda.+ 25 Ndichakuratidza hasha dzangu, uye ivo vachakurwisa vakashatirwa. Vachakudimbura mhino nenzeve, uye vanhu vako vanenge vasara vachaurayiwa nebakatwa. Vachatora vanakomana vako nevanasikana vako, uye vanenge vasara vachapiswa nemoto.+ 26 Vachakubvisa zvipfeko,+ votora zvishongo zvako zvakanaka.+ 27 Ndichagumisa mabasa ako akafumuka neupfambi hwako+ zvakatangira munyika yeIjipiti.+ Ucharega kuvatarisa uye uchakanganwa Ijipiti.’

28 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndava kuda kukuisa mumaoko evaya vaunovenga, vaya vawakasiya, wasemeswa navo.+ 29 Vachakuratidza ruvengo uye vachatora zvinhu zvako zvese zvawakabudira ziya,+ vokusiya usina kupfeka. Unzenza hunonyadzisa hwawaiita usina kupfeka, nemabasa ako akafumuka nechipfambi chako zvichafumurwa.+ 30 Uchaitirwa zvinhu izvi nekuti wakatevera mamwe marudzi sepfambi,+ uchizvisvibisa nezvidhori zvawo zvinosemesa.+ 31 Wakatevedzera mukoma wako,+ uye ndichaisa kapu yake muruoko rwako.’+

32 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

‘Uchanwira mukapu yakakura yemukoma wako,+

Uye uchasekwa woshorwa, nekuti ndizvo zvakazara mukapu yacho.+

33 Uchapera nekudhakwa uye ucharwadziwa zvisingaiti.

Ichange iri kapu yezvinotyisa uye yekuparadzwa,

Kapu yemukoma wako, Samariya.

34 Uchatoinwa woipedza yese,+ uye uchan’en’ena zvimedu zvayo zvevhu

Wobva wadzura mazamu ako.

“Nekuti ini pachangu ndataura,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.’

35 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Zvawakandikanganwa, usingambondiverengi,*+ uchatambura nemhaka yemabasa ako akafumuka uye upfambi hwako.’”

36 Jehovha akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uchataura here mutongo waOhora naOhoribha+ wovaudza zvinhu zvinosemesa zvavakaita? 37 Vakaita upombwe,*+ uye maoko avo ane ropa. Havana kungoita upombwe nezvidhori zvavo zvinosemesa asi vakaitawo kuti vanakomana vavakandiberekera vapfuure nemumoto vachivaita zvekudya zvezvidhori zvavo.+ 38 Izvi ndizvo zvimwe zvavakandiitira: Vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene zuva iroro, uye vakasvibisa masabata angu. 39 Pavakapedza kuuraya vana vavo vachivabayira kuzvidhori zvavo zvinosemesa,+ vakabva vapinda munzvimbo yangu tsvene pazuva iroro kuti vaisvibise.+ Ndizvo zvavakaita mumba mangu chaimo. 40 Vakatotumirawo nhume kunotora varume vekure.+ Pavakanga vachiuya, wakageza ukapenda maziso ako, ukapfeka zvishongo.+ 41 Wakagara pamubhedha wemaoresa waiva netafura+ pamberi pawo,+ uye wakagadzika rusenzi+ yangu nemafuta angu pairi.+ 42 Ruzha rwevarume vaifara rwainzwika imomo, uye pakati pavo paiva nezvidhakwa zvakatorwa kurenje. Vakaisa zvishongo mumaoko evakadzi vacho nekorona dzakanaka mumisoro yavo.

43 “Zvino ndakataura nezveuya akanga asakadzwa neupombwe ndichiti: ‘Acharamba achingoita upfambi hwake.’ 44 Saka vakaramba vachipinda maaiva sezvinoita munhu anoenda kupfambi. Ndiwo mapindiro avaiita maiva naOhora naOhoribha, vakadzi vanoita zvakafumuka. 45 Asi varume vakarurama vachamupa mutongo unofanira kupiwa mhombwe+ uye vanodeura ropa;+ nekuti imhombwekadzi, uye maoko avo ane ropa.+

46 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Pachaunzwa uto richavarwisa kuti vave chinhu chinotyisa uye chekupamba.+ 47 Uto racho richavatema nematombo+ uye richavacheka nemapakatwa aro. Richauraya vanakomana vavo nevanasikana vavo,+ uye richapisa dzimba dzavo nemoto.+ 48 Ndichaita kuti zvinhu zvakafumuka zvipere munyika yacho, uye vakadzi vese vachadzidza chidzidzo vorega kutevedzera maitiro enyu akafumuka.+ 49 Vachakurangai nemhaka yemaitiro enyu akafumuka uye zvivi zvamakaita nezvidhori zvenyu zvinosemesa; uye muchaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.’”+

24 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri mugore rechi9, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, nyora pasi zuva iri, iro zuva ranhasi. Mambo weBhabhironi atanga kurwisa Jerusarema nhasi.+ 3 Taura chirevo pamusoro peimba inopanduka, uti nezvavo:

“‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Gadzai mudziyo wekubikira; ugadzei pamoto, mudire mvura mauri.+

 4 Isai nhindi dzenyama imomo,+ nhindi dzese dzakanaka,

Chidya nebandauko; uzadzei nemapfupa akanaka kwazvo.

 5 Torai gwai rakanakisisa,+ uye rongai matanda pasi pemudziyo wacho muchiutenderedza.

Bikai nhindi dzacho nemapfupa acho imomo.”’

6 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

‘Rine nhamo guta rekudeura ropa,+ iwo mudziyo une ngura, mudziyo usina kubviswa ngura!

Budisai nhindi dzirimo;+ budisai imwe neimwe musingaiti zvekukanda mijenya.

 7 Nekuti guta racho richiri neropa rarakadeura;+ rakaridururira paruware.

Harina kuridururira pasi kuti ririfushire nevhu.+

 8 Ndaisa ropa raro paruware runopenya

Parisingafushirwe,

Kuti ndimutse hasha dzekuda kutsiva.’+

9 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

‘Rine nhamo guta rekudeura ropa!+

Ndichaunganidza bakwa rehuni richienda mudenga.

10 Unganidzai matanda uye batidzai moto,

Bikai nyama yacho kusvika yaibva, bvisai muto wacho, musiye mapfupa acho achitsva kuita tsito.

11 Isai mudziyo wacho pamazimbe kuti upise,

Kuti mhangura yawo itsvuke nemoto.

Tsvina iri mauri ichanyunguduka,+ uye ngura yawo ichatsva.

12 Izvi zvinogumbura uye zvinonetesa,

Nekuti ngura yawo zhinji haisi kubva.+

Ukandei mumoto nengura yawo!’

13 “‘Mabasa ako akafumuka ndiwo akakusvibisa.+ Ndakaedza kukuchenesa, asi hauna kuchena. Hauzocheni kusvikira kukutsamwira kwandakaita kwapera.+ 14 Ini Jehovha, ndazvitaura. Zvichaitika. Handizoregi kuzviita. Ndichazviita ndisingambonetseki kana kuzvidemba.+ Vachakutonga zvinoenderana nenzira dzako nezviito zvako,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

15 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 16 “Mwanakomana wemunhu, ndava kuda kukubvutira mudiwa wako.+ Haufaniri kuchema kana kuridza mhere kana kubudisa misodzi. 17 Gomera wakanyarara, uye usaita zvinoitwa pakuchema mufi.+ Pfeka ngowani* yako+ neshangu dzako.+ Usavhara ndebvu dzepamusoro pemuromo+ uye usadya zvekudya zvaunounzirwa nevanhu.”+

18 Ndakataura nevanhu mangwanani, uye mudzimai wangu akafa manheru. Saka mangwanani ndakaita zvandakanga ndaudzwa. 19 Vanhu vaiti kwandiri: “Haungatiudziwo here kuti zvinhu izvi zvauri kuita zvinorevei kwatiri?” 20 Ndakati kwavari: “Shoko raJehovha rauya kwandiri richiti, 21 ‘Udza imba yaIsraeri kuti: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndava kuda kusvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ icho chidadiso chenyu, chinhu chamunoda chaizvo uye chiri pamwoyo penyu. Vanakomana nevanasikana venyu vamakasiya vachafa nebakatwa.+ 22 Muchabva maita sezvandaita chaizvo. Hamuzovhari ndebvu dzepamusoro pemiromo yenyu, uye hamuzodyi zvekudya zvamunounzirwa nevanhu.+ 23 Muchange makapfeka ngowani dzenyu uye makapfeka shangu. Hamuzochemi kana kuridza mhere. Asi muchaorera muzvivi zvenyu,+ uye muchatarisana muchigomera. 24 Ezekieri ava chiratidzo kwamuri.+ Zvaaita ndizvo zvamuchaita. Pazvichaitika, muchaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.’”’”

25 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, pazuva randichavatorera nhare yavo yakanaka inovafadza, yavanoda chaizvo, uye iri pamwoyo pavo, pamwe chete nevanakomana vavo nevanasikana vavo,+ 26 uchaudzwa nezvazvo nemunhu anenge apukunyuka.+ 27 Zuva iroro uchashama muromo wako wotaura neachapukunyuka, hauzorambi wakanyarara.+ Uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

25 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuvaAmoni+ uprofite nezvavo.+ 3 Iti pamusoro pevaAmoni, ‘Inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zvamakati ‘Tsvatu waro!’ pakasvibiswa nzvimbo yangu tsvene uye pakaparadzwa nyika yeIsraeri, uye pakatapwa imba yaJudha, 4 ndichakuisai mumaoko evanhu Vekumabvazuva. Vachadzika misasa yavo munyika yenyu uye vachadzika matende avo pakati penyu. Vachadya zvamakashanda uye vachanwa mukaka wenyu. 5 Ndichaita kuti Rabha+ ive mafuro engamera uye kuti nyika yevaAmoni ive nzvimbo yekuti makwai azororere; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”

6 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Zvamakaombera,+ mukabinha pasi netsoka dzenyu uye mukapembera muchifarira zvakaitika kunyika yeIsraeri muchivatsvinyira zvisingaiti,+ 7 ndichakutambanudzirai ruoko rwangu kuti mupambwe nemarudzi. Ndichakubvisai pakati pemarudzi uye ndichakuparadzai munyika dzacho.+ Ndichakupedzai, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’

8 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Moabhi+ neSeiri+ zvadzakati, “Onai! Imba yaJudha yakaita semamwe marudzi ese,” 9 ndichaita kuti maguta ari pamuganhu weMoabhi arwiswe, ayo anosanganisira maguta akanaka kupfuura mamwe munyika yacho anoti, Bheti-jeshimoti, Bhaari-meyoni, zvichinosvika kuKiriyataimu.+ 10 Ndichapa Moabhi nevaAmoni kuvanhu Vekumabvazuva+ kuti vaAmoni vasayeukwa pakati pemarudzi.+ 11 Ndichaita zvandakatongera vaMoabhi,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’

12 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Edhomu yakatsiva imba yaJudha, ikava nemhosva yakakura;+ 13 saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatambanudzirawo Edhomu ruoko rwangu ndoparadza vanhu nezvipfuwo zviri mairi, ndoiita dongo.+ Vachaurayiwa nebakatwa kubva kuTemani kusvika kuDhedhani.+ 14 ‘Ndichatsiva Edhomu ndichishandisa maoko evanhu vangu vaIsraeri.+ Vachaunza kutsamwa kwangu nehasha dzangu paEdhomu kuti vanhu vayo vaone kutsiva kwangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’

15 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nemhaka yeruvengo rwavo rusingaperi, vaFiristiya vaingoda zvekutsiva uye kuparadza neutsinye.+ 16 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kutambanudzira vaFiristiya ruoko rwangu kuti ndivarwise,+ uye ndichaparadza vaKereti+ uye vanhu vakasara vepamhenderekedzo yegungwa.+ 17 Ndichaita mabasa makuru ekuvatsiva, ndichivaranga ndakatsamwa, uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichavatsiva.”’”

26 Mugore rechi11, pazuva rekutanga remwedzi, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, Tire zvayakati kuJerusarema,+ ‘Tsvatu waro! Gedhi riya remarudzi raputswa!+ Zvinhu zvese zvichauya kwandiri uye ndava kuzopfuma nekuti iro raparara’; 3 zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kukurwisa iwe Tire, uye ndichaunza marudzi mazhinji kuti akurwise, segungwa riri kuunza mafungu aro. 4 Vachaparadza masvingo eTire voputsa shongwe dzayo,+ uye ndichatsvaira ivhu rayo ndoisiya iri ruware runopenya. 5 Ichava nzvimbo iri pakati pegungwa yekunanikira mambure ekukukudzisa.’+

“‘Nekuti ini pachangu ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘uye ichapambwa nemarudzi. 6 Vanhu vayo vekumaruwa vachaparadzwa nebakatwa, uye vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha.’

7 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kuunza Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi kubva kuchamhembe kuti arwise Tire;+ iye ndimambo wemadzimambo,+ uye ane mabhiza+ nengoro dzehondo,+ nevarwi vanotasva mabhiza, neuto rine varwi vakawanda. 8 Achaparadza vanhu vako vekumaruwa nebakatwa, achavaka rusvingo rwekukukomba, achaunganidza murwi wekukukomba uye achamisa nhoo huru dzekukurwisa. 9 Achadhiritsa masvingo ako nechekugumurisa masvingo, uye achaputsa shongwe dzako nematemo* ake. 10 Mabhiza ake achange akawanda zvekuti uchazara neguruva rawo, uye mambo wacho paachapinda pamagedhi ako sevarume vari kupinda muguta rine masvingo akaputsika, ruzha rwevatasvi vake vemabhiza, nerwemavhiri engoro dzake ruchazunungusa masvingo ako. 11 Mahwanda emabhiza ake achatsika-tsika migwagwa yako yese;+ iye achauraya vanhu vako nebakatwa, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi. 12 Vachatora pfuma yako nechisimba, vopamba zvinhu zvako zvekutengesa,+ voputsa masvingo ako, uye vachaputsa dzimba dzako dzakanaka; vachabva vakanda matombo ako mumvura pamwe chete nematanda ako nevhu rako.’

13 “‘Ndichaita kuti ruzha rwekuimba kwako rugume, uye kurira kweudimbwa hwako hakuzonzwikizve.+ 14 Ndichakusiya wava ruware runopenya uye uchava nzvimbo yekunanikira mambure ekukukudzisa.+ Hauzombovakwizve, nekuti ini Jehovha ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

15 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kuTire: ‘Zvitsuwa hazvizodederi here pachanzwika ruzha rwekuparara kwako, pachagomera vanhu vanenge vava kufa, uye pachafa vanhu vako vazhinji?+ 16 Machinda ese emugungwa achaburuka pazvigaro zvawo zveumambo, uye achabvisa nguo dzawo refu* nenguo dzawo dzakamendwa uye achadedera. Achagara pasi achingodedera, oramba akakuti nde-e achishamisika.+ 17 Uye vachakuimbira rwiyo rwekukuchema,+ voti kwauri:

“Chokwadi waparara,+ iwe waimbogarwa nevanhu vekumakungwa, iwe guta rairumbidzwa;

Iwe nevanhu vako maiva nesimba mugungwa,+

Muchityisa vagari vese vepanyika!

18 Zvitsuwa zvichadedera pazuva rauchaparara,

Zvitsuwa zviri mugungwa zvichanetseka pauchange usisipo.”’+

19 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Pandichakuparadza wosara waita semaguta asina anogaramo, pandichakukunda nemvura ine mafungu, wonyudzwa nemvura ine simba,+ 20 iwe nevaya vauri kuenda navo mugomba* ndichakuendesai kuvanhu vekare kare. Ndichaita kuti iwe nevaya vari kuenda mugomba mugare munzvimbo yakadzikira kwazvo kungofanana nenzvimbo dzekare dzakaparadzwa+ kuti pasava neanogara mauri. Ndichabva ndakwidziridza nyika yevapenyu.

21 “‘Ndichaita kuti ungoerekana wabatwa nekutya kukuru uye uchashayikwa.+ Vachakutsvaga asi hauzombowaniki,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

27 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, imba rwiyo rwekuchema Tire,+ 3 woudza Tire kuti,

‘Iwe mugari wepamagedhi egungwa,

Wekutengeserana nemarudzi emuzvitsuwa zvizhinji,

Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Iwe Tire wakataura kuti, ‘Ndakanaka zvinonwisa mvura.’+

 4 Pakati pegungwa ndipo pane nharaunda dzako,

Uye vavaki vako vakakuvaka zvakanaka kwazvo.

 5 Vakagadzira mapuranga ako ese nemijunipa yekuSeniri,+

Uye vakatora musidhari kuRebhanoni kuti vakugadzirire bango rako rinoenda mudenga.

 6 Vakagadzira zvekukukwasvisa vachishandisa mioku yekuBhashani,

Uye divi rako rekumberi rakagadzirwa nemusaipresi wakashongedzwa nenyanga dzenzou, wakatorwa kuzvitsuwa zveKitimu.+

 7 Seiri rako nderejira rekuIjipiti rine mavara anoyevedza,

Uye tende redenga rako rainge rakagadzirwa neshinda yebhuruu uye neshinda yepepuru yekuzvitsuwa zveErishaa.+

 8 Vagari vekuSidhoni neAvhadhi+ ndivo vaikukwasva.

Waityairwa nevarume vako vane unyanzvi iwe Tire.+

 9 Varume vagara nebasa vekuGebhari+ uye vane unyanzvi ndivo vainama paunenge watsemuka.+

Vafambisi vengarava dzese dzemugungwa vaiuya nengarava dzavo muchitengeserana.

10 Varume vekuPezhiya, Rudhi, nePuti+ ndivo vaiva muuto rako, ivo varwi vako.

Vakaturika nhoo dzavo nengowani mauri uye vakaita kuti uve nerunako.

11 Varume veAvhadhi avo vaiva muuto rako vainge vakamira pamasvingo ako kumativi ese,

Uye varume vakashinga vairinda shongwe dzako.

Vakaturika nhoo dzeraundi pamasvingo ako, kumativi ako ese,

Uye vakaita kuti runako rwako ruwedzere.

12 “‘“Tashishi+ yaitengeserana newe nekuti waiva nepfuma zhinji.+ Vaikupa sirivha, simbi, tini, nemutobvu kuti vawane zvinhu zvako.+ 13 Vanhu veJavhani, Tubhari,+ neMesheki+ vaitengeserana newe, vachikupa varanda+ nemidziyo yemhangura kuti vawane zvawaitengesa. 14 Veimba yaTogama+ vaikupa mabhiza ehondo nemamwe ekushandisa pabasa nemanyurusi, iwe uchivapa zvinhu zvako. 15 Vanhu vekwaDhedhani+ vaitengeserana newe uye waiva nevanhu vaikutengesera zvinhu zvako pazvitsuwa zvizhinji, vachikupa nyanga dzenzou+ nematanda emuti wemushuma. 16 Edhomu yaitengeserana newe nekuti waiva nezvinhu zvizhinji. Vaikupa matombo anonzi tekoizi, shinda yepepuru, nemachira ane mavara anoyevedza, nemachira akanaka, nematombo ekorari neerubhi, kuti vawane zvinhu zvako.

17 “‘“Judha nenyika yeIsraeri dzaitengeserana newe, dzichikupa gorosi rekuMiniti,+ nezvekudya zvakanaka kwazvo, neuchi+ nemafuta nebharisamu+ kuti dziwane zvinhu zvako.+

18 “‘“Dhamasiko+ yaitengeserana newe nekuti waiva nezvinhu zvizhinji nepfuma, vachikupa waini yekuHeribhoni neshinda yekuZahari.* 19 Vhedhani naJavhani vekuUzari vakakupa simbi inopfurika, kasiya,* netsanga dzinonhuhwirira kuti uvape zvinhu zvako. 20 Dhedhani+ aitengeserana newe achikupa machira ekugarira pamabhiza. 21 Wakaita kuti vaArabhu nemachinda ese eKedhari,+ avo vaitengesa makwayana nemakondohwe nembudzi vakushandire.+ 22 Vatengesi vekuShebha naRaama+ vaitengeserana newe. Vaikupa zvinonhuhwirira zvemarudzi ese zvakanaka kwazvo, matombo anokosha, negoridhe uchivapa zvinhu zvako.+ 23 Waitengeserana neHarani,+ neKane, neEdheni,+ nevatengesi vekuShebha,+ uye neAsuri,+ neKirimadhi. 24 Vaitengesa nguo dzakanaka pamusika wako, nemachira ebhuruu ekumonera akamendwa zvinoyevedza, nemakapeti ane mavara akasiyana-siyana, uye vaizvisunga zvese netambo.

25 Zvinhu zvawaitengeserana nevamwe zvaitakurwa nengarava dzeTashishi,+

Zvekuti wakazadzwa nezvinhu uye wakaremerwa* uri pakati pegungwa.

26 Vaya vanokufambisa vakuendesa kune mafungu makuru egungwa;

Mhepo yekumabvazuva yakuparadzira pakati pegungwa.

27 Pfuma yako nezvinhu zvako, nezvaunotengesa, nevanhu vese vanokufambisa, nevatyairi vako,

Nevaya vanokunama paunenge watsemuka, nevanotengesa zvinhu zvako,+ nevarwi vako vese,+

Vese* vakakwira mauri,

Vachanyura pakati pegungwa pazuva rauchaparara.+

28 Vatyairi vako pavachashevedzera, nyika dziri mumhenderekedzo dzichadedera.

29 Varume vese vanokwasva ngarava nevanodzifambisa, nevanoshanda mungarava

Vachabuda mungarava dzavo vomira panyika.

30 Vachasimudza manzwi avo vokuchema zvinopisa tsitsi,+

Vachizvimwaya guruva mumisoro, vachiumburuka mumadota.

31 Vachazvigera muparavara, vopfeka masaga;

Vachakuchema vachirwadziwa, vachiridza mhere isingaiti.

32 Pavanenge vachikuchema, vachaimba rwiyo rwemariro uye vachaimba nezvako vachiti:

‘Ndiani akafanana neTire, iyo yangoti zii pakati pegungwa?+

33 Zvinhu zvako pazvakasvika zvichibva mugungwa, wakafadza vanhu vazhinji.+

Pfuma yako zhinji nezvinhu zvawaitengesa zvakapfumisa madzimambo epanyika.+

34 Iye zvino waparadzwa pakati pegungwa, mumvura yakadzika,+

Uye wanyura, iwe nevanhu vako nezvinhu zvako zvese zvekutengesa.+

35 Vagari vese vemuzvitsuwa vacharamba vakakuti nde-e vachishamisika,+

Uye madzimambo emo achadedera nekutya,+ zviso zvavo zvichinetseka.

36 Vatengesi vari pakati pemarudzi vacharidza muridzo nezvinenge zvaitika kwauri.

Kuguma kwako kuchangoerekana kwasvika uye kuchange kuchityisa,

Uye hauchafa wakavapozve.’”’”+

28 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, udza mutungamiriri weTire kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Nemhaka yekuti mwoyo wako wava kuzvikudza,+ uri kuramba uchiti, ‘Ndiri mwari.

Ndiri pachigaro chamwari, pakati pegungwa.’+

Asi hausi mwari, unongova munhu,

Kunyange zvazvo mumwoyo mako uchizviona samwari.

 3 Inzwa! Wakachenjera kupfuura Dhanieri.+

Hapana zvawakavanzirwa.

 4 Wakazvipfumisa neuchenjeri hwako neungwaru hwako,

Uye uri kuramba uchiisa goridhe nesirivha maunochengetera pfuma yako.+

 5 Wakawana pfuma yakawanda nekugona kwako kutengeserana nevamwe,+

Uye mwoyo wako wakatanga kuzvikudza neupfumi hwako.”’

6 “‘Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Nemhaka yekuti uri kuzviona samwari,

 7 Ndiri kukuunzira vekune imwe nyika, vanhu vane utsinye kupfuura vamwe vese,+

Uye vachavhomora mapakatwa avo voparadza zvinhu zvese zvakanaka zvawakawana neuchenjeri hwako,

Vokanganisa runako rwako rukuru.+

 8 Vachakupinza mugomba,*

Uye uchafa rufu runorwadza pakati pegungwa.+

 9 Ucharamba here uchiti, ‘Ndiri mwari,’ kumunhu anenge achikuuraya?

Uchava munhuwo zvake mumaoko evari kukusvibisa, kwete mwari.”’

10 ‘Uchafa rufu rwevanhu vasina kuchecheudzwa, uchiurayiwa neruoko rwevanhu vekune imwe nyika,

Nekuti ini ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

11 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 12 “Mwanakomana wemunhu, imba rwiyo rwekuchema mambo weTire, uti kwaari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Wakanga uri mucherechedzo werunako,

Uye wainge uzere neuchenjeri,+ wakanaka chaizvo.+

13 Waiva muEdheni, munda waMwari.

Wakanga wakashongedzwa nematombo ese anokosha anoti,

Rubhi, topazi, nejaspa; krisoriti, onikisi, nejedhi; safaya, tekoizi,+ neemaradhi.

Matombo iwayo ainge akasungirirwa pagoridhe,

Uye ndakaagadzira zuva randakakusika.

14 Ndakakugadza kuti uve kerubhi rakazodzwa rinoita basa rekuchengetedza.

Waiva mugomo dzvene raMwari,+ uye waifamba-famba pakati pematombo ane moto.

15 Wakanga usina mhosva panzira dzako kubvira pazuva rawakasikwa

Kusvikira watanga kuita zvisina kururama.+

16 Zvinhu zvakawanda zvawakatengeserana nevamwe,+

Zvakaita kuti uzare nemhirizhonga uye utange kutadza.+

Saka iwe kerubhi rinoita basa rekuchengetedza,

Ndichakubvisa mugomo raMwari sechinhu chakasviba ndokuparadza,+ ndokuisa kure nematombo ane moto.

17 Runako rwako rwakaita kuti mwoyo wako uzvikudze.+

Runako rwako runonwisa mvura ndirwo rwakaita kuti uchenjeri hwako hushaye basa.+

Ndichakukanda panyika.+

Ndichaita kuti madzimambo akutarise.

18 Wakasvibisa nzvimbo dzako tsvene nekuwanda kwezvivi zvako uye kusatendeka kwako pakutengeserana.

Ndichabatidza moto pakati pako, uye uchakupisa.+

Ndichaita kuti usare wava madota panyika, pamberi pevaya vese vakakutarisa.

19 Vaya vese vaikuziva pakati pemarudzi vacharamba vakakutarisa vachishamiswa.+

Kuguma kwako kuchangoerekana kwasvika uye kuchange kuchityisa,

hauchafa wakavapozve.”’”+

20 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 21 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuSidhoni+ uprofite nezvayo. 22 Uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Ndiri kukurwisa iwe Sidhoni, uye ndichakudzwa pakati pako;

Uye vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha pandichaita zvandakatongera Sidhoni, ndotsveneswa mairi.

23 Ndichatuma denda mairi uye ropa richayerera mumigwagwa yayo.

Panguva ichauya bakatwa richibva kumativi ese, vanhu vachaurayiwa vachiwira mairi;

Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.+

24 “‘“Imba yaIsraeri ichange isisina kupoteredzwa nemakwenzi anobaya neminzwa inorwadza,+ ivo vaya vese vari kuvazvidza; uye vanhu vachaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.”’

25 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Pandichadzosa vanhu veimba yaIsraeri kubva kumarudzi avakanga vaendeswa,+ ndichatsveneswa pakati pavo marudzi acho achiona.+ Vachagara munyika yavo+ yandakapa mushumiri wangu Jakobho.+ 26 Vachagara mairi vasina chekutya,+ vovaka dzimba nekudyara minda yemizambiringa.+ Vachagara vasina chekutya pandichaita zvandakatongera vaya vese vakavapoteredza vari kuvazvidza;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.”’”

29 Mugore rechi10, mumwedzi wechi10, pazuva rechi12 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuna Farao mambo weIjipiti, uprofite nezvake uye nezveIjipiti yese.+ 3 Taura mashoko aya ekuti: ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Ndiri kukurwisa iwe Farao mambo weIjipiti,+

Iwe zimhuka remugungwa rakarara muhova dzerwizi rwaro rwaNire,*+

Riya rakati, ‘Rwizi rwaNire nderwangu.

Ndakarugadzira kuti ruve rwangu.’+

 4 Asi ini ndichaisa zvirauro mushaya dzako, ndoita kuti hove dzerwizi rwako rwaNire dzinamatire pamakwati ako.

Ndichakubudisa muna Nire pamwe chete nehove dzese dzemuna Nire dzinonamatira pamakwati ako.

 5 Ndichakusiya murenje, iwe nehove dzese dzemurwizi rwako rwaNire.

Uchawira musango, uye zvidimbu zvako hazvizounganidzwi kana kuiswa panzvimbo imwe chete.+

Ndichaita kuti udyiwe nezvikara zvesango uye neshiri dzedenga.+

 6 Vagari vese vemuIjipiti vachabva vaziva kuti ndini Jehovha,

Nekuti kutsigira kwavo imba yaIsraeri hakupfuuri kutsigira kunoita shanga.*+

 7 Pavakakubata ruoko, wakapwanyika,

Uye wakatyora pfudzi ravo.

Pavakakuzembera, wakatyoka,

Ukaita kuti makumbo avo adedere.”+

8 “‘Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukuunzira bakatwa,+ uye ndichaparadza vanhu vako nemhuka dziri mauri. 9 Nyika yeIjipiti ichava dongo uye nzvimbo yakaparadzwa;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha, nekuti wakati,* ‘Rwizi rwaNire nderwangu; ndini ndakarugadzira.’+ 10 Saka ndiri kukurwisa iwe nerwizi rwako rwaNire, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparare uye iome, ive dongo risina chinhu,+ kubva kuMigdhori+ kusvika kuSiene+ uye kusvika kumuganhu weItiopiya. 11 Hapana munhu kana chipfuwo chichapfuura nemo,+ uye ichaita makore 40 isingagarwi. 12 Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive dongo rekupedzisira, uye maguta ayo achava matongo ekupedzisira kwemakore 40;+ uye ndichaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi uye ndichaita kuti vapararire nenyika.”+

13 “‘Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Panopera makore 40 ndichaunganidza vaIjipiti kubva kumarudzi avanenge vaendeswa;+ 14 ndichadzosa nhapwa dzeIjipiti kunyika yePatrosi,+ kunyika yavakabva, uye vachava umambo husina simba ikoko. 15 Ijipiti ichava umambo husina simba pane humwe umambo, uye haizotongi mamwe marudzi.+ Ndichaita kuti vanhu vayo vave vashoma kwazvo zvekuti havazokwanisi kukunda mamwe marudzi.+ 16 VaIsraeri havazovimbizve nayo,+ asi ichangovayeuchidza nezvekukanganisa kwavakaita pavakaenda kunotsvaga rubatsiro kuvaIjipiti. Uye vachaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.”’”

17 Zvino mugore rechi27, mumwedzi wekutanga, pazuva rekutanga remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 18 “Mwanakomana wemunhu, Mambo Nebhukadhinezari*+ weBhabhironi akaita kuti uto rake riite basa guru rekurwisa Tire.+ Misoro yese yakava miparavara, uye mapfudzi ese akakwizwa akasvuuka. Asi iye neuto rake havana kubhadharwa basa guru raakaita paTire.

19 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndiri kupa Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi nyika yeIjipiti,+ uye achatakura pfuma yayo, oipamba nekuitorera zvinhu zvayo zvizhinji; uye zvichava mubhadharo weuto rake.’

20 “‘Ndichamupa nyika yeIjipiti kuti ndimubhadhare basa raakaita rekuirwisa,* nekuti vakandiitira basa,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

21 “Pazuva iroro ndichaita kuti pamere nyanga yeimba yaIsraeri,*+ uye ndichaita kuti utaure navo; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

30 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, profita, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Ridzai mhere muchiti, ‘Maiwee zuva riya riri kuuya!’

 3 Nekuti zuva racho rava pedyo, chokwadi, zuva raJehovha rava pedyo.+

Richava zuva rine makore+ uye nguva yakasarudzirwa marudzi.+

 4 Bakatwa richauya kuzorwisa Ijipiti, uye vaItiopiya vachatya kwazvo vanhu pavachati katakata vaurayiwa muIjipiti;

Upfumi hwayo huchatorwa uye nheyo* dzayo dzichaputswa.+

 5 Itiopiya,+ Puti,+ Rudhi, nevanhu vese vekune dzimwe nyika,

NeKubhi, nevanakomana vemunyika yesungano,*

Vese vachaurayiwa nebakatwa.”’

 6 Zvanzi naJehovha:

‘Vatsigiri veIjipiti vachawawo,

Uye simba rayo rinoita kuti izvikudze richapedzwa.’+

“‘Vachaurayiwa nebakatwa munyika yacho kubva kuMigdhori+ kusvika kuSiene,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 7 ‘Nharaunda dzavo dzichaitwa matongo ekupedzisira, uye maguta ayo achava matongo ekupedzisira.+ 8 Vachaziva kuti ndini Jehovha pandichabatidza moto muIjipiti, ndoparadza vese vakabatana nayo. 9 Zuva iroro ndichatuma nhume mungarava kuti dzidederese Itiopiya inozvikudza; vachabatwa nekutya pazuva riri kuuya paIjipiti, nekuti zuva racho richatouya chete.’

10 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichapedza gurumwandira revanhu veIjipiti ndichishandisa ruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi.+ 11 Iye nemauto ake, ivo vanhu vane utsinye kupfuura vamwe vese,+ vachaunzwa kuzoparadza nyika yacho. Vachavhomorera Ijipiti mapakatwa avo, vozadza nyika yacho nezvitunha.+ 12 Ndichaomesa migero yaNire+ uye ndichatengesa nyika yacho kuvanhu vakaipa. Ndichaparadza nyika yacho nezvese zviri mairi ndichishandisa maoko evanhu vekune imwe nyika.+ Ini Jehovha ndataura.’

13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaparadzawo zvidhori zvinosemesa* ndoparadza vanamwari vasina zvavanobatsira veNofi.*+ Munyika yeIjipiti hamuzovi nejinda, uye ndichaita kuti vanhu vemuIjipiti vatye.+ 14 Ndichaita kuti Patrosi+ ive dongo, ndobatidza moto muZoani, ndoita zvandakatongera No.*+ 15 Ndichadururira hasha dzangu paSini, iyo nhare* yeIjipiti, ndoparadza vanhu vemuNo. 16 Ndichabatidza moto muIjipiti; Sini ichabatwa nekutya, No ichapazwa uye Nofi icharwiswa masikati machena! 17 Majaya ekuOni* nePibheseti achaurayiwa nebakatwa, uye maguta acho achatapwa. 18 MuTehafinehesi muchava nerima pandichatyora majoko eIjipiti imomo.+ Simba rayo rayaizvikudza naro richapera.+ Ichavharwa nemakore uye maguta ayo madiki achatapwa.+ 19 Ndichaitira Ijipiti zvandakaitongera, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

20 Zvino mugore rechi11, mumwedzi wekutanga, pazuva rechi7 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 21 “Mwanakomana wemunhu, ndatyora ruoko rwaFarao mambo weIjipiti; haruzombosungwi kuti rupore kana kumonerwa jira kuti rusimbe zvekugona kubata bakatwa.”

22 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kurwisa Farao mambo weIjipiti,+ uye ndichatyora maoko ake ese, ruoko rune simba nerwakatyoka,+ uye ndichaita kuti bakatwa ridonhe muruoko rwake.+ 23 Ndichabva ndaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika.+ 24 Ndichasimbisa maoko amambo* weBhabhironi+ ndomupa bakatwa rangu.+ Ndichatyora maoko aFarao, uye achagomera kwazvo ari pamberi pake* semunhu ava kufa. 25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao achati regwede; uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichapa mambo weBhabhironi bakatwa rangu, orishandisa kurwisa nyika yeIjipiti.+ 26 Ndichaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

31 Mugore rechi11, mumwedzi wechitatu, pazuva rekutanga remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, iti kuna Farao mambo weIjipiti uye kuvanhu vake vazhinji,+

‘Wakafanana naani paukuru hwako?

 3 Paiva nemuAsiriya, iwo musidhari wekuRebhanoni,

Waiva nemapazi akanaka akaita sebvokocho resango rine mumvuri, uye wainge wakareba,

Uchinosvika kumakore.

 4 Mvura yakaita kuti ukure chaizvo, uye zvitubu zvemvura zvakadzika zvakaita kuti urebe.

Wainge wakadyarwa pakati pehova dzemvura;

Migero yezvitubu zvacho yaidiridza miti yese yesango.

 5 Ndokusaka wakareba kupfuura mimwe miti yese yesango.

Mapazi awo akakura chaizvo uye wakava nemapazi mahombe akawanda,

Nekuti muhova dzawo maiva nemvura zhinji.

 6 Shiri dzese dzedenga dzaivakira matendere adzo pamapazi awo,

Mhuka dzese dzesango dzaiberekera pasi pemapazi awo,

Uye marudzi ese ane vanhu vazhinji aigara pamumvuri wawo.

 7 Wainge uchiyevedza uye wakanaka, uine mapazi akakura,

Nekuti midzi yawo yaidzika kusvika pane mvura zhinji.

 8 Hapana mimwe misidhari yemumunda waMwari+ yainge yakafanana nawo.

Hapana mijunipa yaiva nemapazi mahombe akaita seawo,

Uye hapana mipurani yaiva nemapazi akaita seawo.

Hapana mumwe muti waiva mumunda waMwari wakanga wakanaka saiwo.

 9 Ndakaita kuti unake uye kuti uve nemashizha mazhinji,

Uye mimwe miti yese yemuEdheni, munda waMwari wechokwadi, yaiuitira shanje.’

10 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nekuti muti wacho wakareba kwazvo, ukanosvika kumakore, mwoyo wawo ukazvikudza nekureba kwawo, 11 ndichauisa muruoko rwemutongi ane simba wemarudzi.+ Chokwadi achaurwisa, uye ndichauramba nemhaka yekuipa kwawo. 12 Vanhu vekune imwe nyika vane utsinye kupfuura vamwe vese vachaudonhedza vousiya mumakomo, uye mashizha awo achawira mumipata yese, uye mapazi awo achatyoka owira muhova dzese dzenyika yacho.+ Marudzi ese epanyika achabva pamumvuri wawo ousiya. 13 Shiri dzese dzedenga dzichagara pahunde yawo yakadonha, uye mhuka dzese dzesango dzichagara pamapazi awo.+ 14 Saka hapazovi nemuti uri pedyo nemvura unoreba zvakadaro kana unosvika kumakore, uye hapazovi nemuti unowana mvura yakakwana unosvika kumakore. Nekuti yese zvayo ichaurayiwa, yova munyika iri pasi pevhu, pamwe chete nevanakomana vevanhu vari kupinda mugomba.’*

15 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaita kuti pave nekuchema pazuva richapinda muti wacho muGuva.* Ndichadaro pandichavhara mvura yakadzika ndomisa hova dzayo kuti mvura yacho zhinji isayerera. Ndichaita kuti Rebhanoni ive nerima nemhaka yawo, uye miti yese yesango ichaoma. 16 Panonzwika ruzha rwekuwa kwawo, ndichaita kuti marudzi adedere pandichaupinza muGuva* pamwe chete nevaya vese vari kupinda mugomba.* Uye miti yese yemuEdheni+ yakanaka kwazvo, miti yekuRebhanoni inoyevedza kupfuura mimwe yese, yese iya inowana mvura yakakwana, ichawana nyaradzo munyika iri pasi pevhu. 17 Yapinda naye muGuva,* mune vaya vakaurayiwa nebakatwa,+ pamwe chete nevaya vaimutsigira vachigara mumumvuri wake pakati pemarudzi.’+

18 “‘Pane here muti wemuEdheni waiyevedza uye wainge wakakura sewe?+ Asi uchapinzwa munyika iri pasi pevhu pamwe chete nemiti yemuEdheni. Ucharara pasi pakati pevaya vasina kuchecheudzwa, nevaya vakaurayiwa nebakatwa. Izvi ndizvo zvichaitika kuna Farao nevanhu vake vazhinji,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

32 Mugore rechi12, mumwedzi wechi12, pazuva rekutanga remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, imba rwiyo rwekuchema Farao mambo weIjipiti, uti kwaari,

‘Wakanga wakaita seshumba ine simba* yemamwe marudzi,

Asi wanyaradzwa.

Wakanga wakaita sezimhuka remugungwa,+ uchibhidhirika munzizi dzako,

Uchibvongodza mvura netsoka dzako uye uchisvibisa nzizi.’*

 3 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

‘Ndichatambanudza mambure angu pamusoro pako ndichishandisa chaunga chemarudzi mazhinji,

Uye ivo vachakudhonza nemambure angu ekukukudzisa.

 4 Ndichakusiya panyika;

Ndichakukanda musango.

Ndichaita kuti shiri dzese dzedenga dzikumhare,

Uye ndichaita kuti mhuka dzesango dzepanyika yese dzikudye.+

 5 Ndichakanda nyama yako mumakomo,

Uye ndichazadza mipata nezvichasara pauchadyiwa.+

 6 Ndichaita kuti nyika igute neropa rako zhinji iro richanosvika kumakomo,

Uye richazadza hova.’

 7 ‘Pauchadzimwa ndichavhara denga uye ndichaita kuti nyeredzi dzisavheneka.

Ndichaita kuti zuva rivharwe nemakore,

Uye mwedzi hauzovheneki.+

 8 Ndichakudzimira zvinovheneka zvese zviri mudenga,

Uye ndichaita kuti nyika yako yese ive nerima,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

 9 ‘Ndichaita kuti mwoyo yemarudzi mazhinji inetseke pandichaendesa nhapwa dzako kune mamwe marudzi,

Kunyika dzausingazivi.+

10 Ndichaita kuti marudzi mazhinji ashamisike,

Uye madzimambo awo achadedera achitya zvinenge zvaitika kwauri paachaona ndichisimudza bakatwa rangu.

Pazuva rauchaparara,

Acharamba achidedera, mumwe nemumwe achityira upenyu hwake.’

11 Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

‘Bakatwa ramambo weBhabhironi richauya pauri.+

12 Ndichaita kuti vanhu vako avo vakawanda kwazvo vaurayiwe nemapakatwa evarwi vane simba,

Varwi vese vane utsinye hwekupedzisira.+

Vachaparadza zvinhu zvinoita kuti Ijipiti izvikudze, uye vanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.+

13 Ndichaparadza zvipfuwo zvayo pedyo nemvura yayo zhinji,+

Uye hapana tsoka yemunhu kana mahwanda ezvipfuwo achaisvibisa zvakare.’+

14 ‘Panguva iyoyo ndichachenesa mvura yacho,

Uye ndichaita kuti nzizi dzacho dziyerere sezvinoita mafuta,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

15 ‘Pandichaita kuti Ijipiti ive dongo uye isiyiwe isisina zvinhu zvese zvaizere nazvo,+

Pandichaparadza vanhu vese vanogara mairi,

Vachaziva kuti ndini Jehovha.+

16 Rwiyo urwu nderwemariro, uye vanhu vachatoruimba;

Vanasikana vemarudzi vacharuimba.

Vacharuimbira Ijipiti nevanhu vayo vazhinji,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

17 Mugore rechi12, pazuva rechi15 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 18 “Mwanakomana wemunhu, ridza mhere uchichema vanhu vazhinji veIjipiti woendesa Ijipiti kunyika iri pasi pevhu, iyo nevanasikana vemarudzi ane simba, pamwe chete nevaya vari kupinda mugomba.*

19 “‘Unofunga kuti wakanaka kupfuura vamwe here? Dzika unorara pamwe chete nevasina kuchecheudzwa!’

20 “‘Vachava pakati pevaya vakaurayiwa nebakatwa.+ Ijipiti yatongerwa bakatwa; izvuzvurudzirei kure pamwe chete nevanhu vayo vazhinji.

21 “‘Varwi vane simba kupfuura vamwe vese vachataura naye vari muGuva* rakadzika, iye nevabatsiri vake. Achatodzika nevabatsiri vake uye vacharara pasi sevanhu vasina kuchecheudzwa, vaurayiwa nebakatwa. 22 Imomo ndimo mune Asiriya neungano yayo yese. Makuva avo akamupoteredza, uye vese vakaurayiwa nebakatwa.+ 23 Makuva ake nevanhu vake ari mugomba* rakadzika, uye ungano yayo yese yakapoteredza guva rake, vese zvavo vakaurayiwa nebakatwa, nekuti vakaita kuti munyika yevapenyu mutyise.

24 “‘Imomo ndimo mune Eramu+ nevanhu vayo vazhinji avo vakapoteredza guva rake uye vese zvavo vakaurayiwa nebakatwa. Vaya vakaita kuti munyika yevapenyu mutyise vadzika munyika iri pasi pevhu vasina kuchecheudzwa. Iye zvino vachanyadziswa pamwe chete nevaya vari kupinda mugomba.* 25 Vamugadzirira mubhedha pakati pevakaurayiwa, uye vanhu vake vazhinji vakapoteredza guva rake. Vese zvavo havana kuchecheudzwa uye vakaurayiwa nebakatwa nekuti vakaita kuti munyika yevapenyu mutyise; uye vachanyadziswa pamwe chete nevaya vari kupinda mugomba.* Iye aiswa pakati pevakaurayiwa.

26 “‘Imomo ndimo mune Mesheki neTubhari+ nevanhu vacho vese vakawanda. Makuva avo akamupoteredza. Vese zvavo havana kuchecheudzwa uye vakabayiwa nebakatwa nekuti vakaita kuti munyika yevapenyu mutyise. 27 Ivo havazorari here pamwe chete nevarwi vane simba vasina kuchecheudzwa vakaurayiwa, avo vakapinda muGuva* nezvombo zvavo zvehondo? Vachaisa mapakatwa avo pasi pemisoro yavo,* uye kukanganisa kwavo pamapfupa avo, nekuti varwi ava vane simba vakaita kuti munyika yevapenyu mutyise. 28 Asi iwe uchaparadzirwa pakati pevasina kuchecheudzwa, uye ucharara pamwe chete nevaya vakaurayiwa nebakatwa.

29 “‘Imomo ndimo mune Edhomu,+ nemadzimambo ayo nemachinda ayo ese, ayo akaradzikwa pamwe chete nevaya vakaurayiwa nebakatwa kunyange zvazvo aiva nesimba; naivowo vacharara pamwe chete nevaya vasina kuchecheudzwa+ uye vaya vari kupinda mugomba.*

30 “‘Imomo ndimo mune machinda ese ekuchamhembe,* nevaSidhoni vese,+ avo vakadzika pasi vachinyara, pamwe chete nevakaurayiwa, kunyange zvazvo vaiva nesimba rinotyisa. Vacharara pasi vasina kuchecheudzwa pamwe chete nevaya vakaurayiwa nebakatwa uye vachanyadziswa pamwe chete nevaya vari kupinda mugomba.*

31 “‘Farao achavaona vese, uye achanyaradzwa pakurwadziwa kwake nezvakaitika kuvanhu vake vazhinji.+ Farao neuto rake rese vachaurayiwa nebakatwa,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

32 “‘Farao akaita kuti munyika yevapenyu mutyise, saka iye nevanhu vake vazhinji vacharadzikwa pamwe chete nevasina kuchecheudzwa, nevaya vakaurayiwa nebakatwa,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

33 Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, taura nevanakomana vevanhu vekwako,+ uti kwavari,

“‘Ngatitii ndaunza bakatwa munyika,+ vanhu vese vemunyika yacho vosarudza murume anova murindi wavo, 3 murume wacho oona bakatwa richiuya munyika yavo, oridza hwamanda uye onyevera vanhu.+ 4 Kana munhu akanzwa kurira kwehwamanda asi orega kuteerera nyevero yacho,+ bakatwa rouya romuuraya, ndiye anenge azviurayisa.+ 5 Iye akanzwa kurira kwehwamanda, asi haana kuteerera nyevero. Saka akazviurayisa. Kudai akanga ateerera nyevero, angadai asina kufa.

6 “‘Asi kana murindi akaona bakatwa richiuya, orega kuridza hwamanda+ vanhu voshaya anovanyevera, bakatwa rouraya mumwe wavo, munhu iyeye achafira zvivi zvake, asi ropa rake ndicharibvunza kumurindi wacho.’*+

7 “Iwe mwanakomana wemunhu ndakugadza kuti uve murindi weimba yaIsraeri; uye kana ukanzwa shoko kwandiri, unofanira kuvanyevera zvandinenge ndakuudza.+ 8 Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe munhu akaipa, chokwadi uchafa!’+ asi iwe worega kuyambira munhu wacho akaipa kuti asiye nzira yake, iye achafa ari munhu akaipa nemhaka yekukanganisa kwake,+ asi ndichabvunza ropa rake kwauri. 9 Asi kana ukayambira munhu akaipa kuti asiye nzira yake, iye oramba kuisiya, achafira kukanganisa kwake,+ asi iwe uchazviponesa.+

10 “Uye iwe mwanakomana wemunhu, iti kuimba yaIsraeri, ‘Imi makati: “Kupanduka kwedu nezvivi zvedu zviri kunyanya kutiremera uye zviri kutionza;+ saka tingaramba tichirarama here?”’+ 11 Vaudze kuti, ‘“Neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, “Handifariri kuti munhu akaipa afe,+ asi ndinoda kuti asiye nzira yake,+ oramba achirarama.+ Tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa,+ nekuti mungadirei kufa, imi imba yaIsraeri?”’+

12 “Mwanakomana wemunhu, udza vanakomana vevanhu vekwako kuti, ‘Kana munhu akarurama akapanduka, haazoponeswi nekururama kwaaiva nako;+ uye kana munhu akaipa akasiya zvakaipa zvake, haazovi nemhosva yezvakaipa zvaaimboita;+ uyewo kana munhu akarurama akatadza, haazoponeswi nezvakarurama zvaaimboita.+ 13 Kana ndikati kumunhu akarurama: “Ucharamba uchirarama,” iye ovimba nekururama kwake, oita zvakaipa,+ hapana zvakarurama zvaakaita zvichayeukwa, asi achafira zvakaipa zvake.+

14 “‘Uye kana ndikati kumunhu akaipa: “Chokwadi uchafa,” iye osiya chivi chake, oita zvakanaka uye zvakarurama,+ 15 uye munhu wacho akaipa odzorera chibatiso chaakatora,+ obhadhara zvaakatora neugororo,+ otevera mirau inopa upenyu asingaiti zvakaipa, acharamba achirarama.+ Haazofi. 16 Hapana zvivi zvaakaita zvaachatongerwa.*+ Acharamba achirarama nekuti akaita zvakanaka uye zvakarurama.’+

17 “Zvisinei vanhu vekwako vakati, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Asi ivo vacho ndivo vane nzira isina kururama.

18 “Kana munhu akarurama akarega kuita zvakarurama, oita zvakaipa, achafira izvozvo.+ 19 Asi kana munhu akaipa akasiya zvakaipa zvake, oita zvakanaka uye zvakarurama, acharamba achirarama.+

20 “Asi imi makati, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’+ Imi imba yaIsraeri, ndichatonga mumwe nemumwe wenyu zvinoenderana nenzira dzake.”

21 Papera nguva yakareba, mumwe murume akanga apukunyuka kuJerusarema akauya kwandiri mugore rechi12 tiri nhapwa, mumwedzi wechi10, pazuva rechishanu remwedzi wacho,+ akati: “Guta raputswa!”+

22 Murume uya akanga apukunyuka paakanga asati asvika kwandiri mangwanani, ruoko rwaJehovha rwakanga rwauya pandiri nezuro wacho manheru akavhura muromo wangu. Muromo wangu wakavhurwa uye ndakanga ndava kugona kutaura.+

23 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 24 “Mwanakomana wemunhu, vanhu vanogara mumatongo aya+ vari kutaura nezvenyika yeIsraeri vachiti, ‘Abrahamu aingova munhu mumwe chete asi akatora nyika yacho.+ Isu takawanda saka takatopiwa nyika iyi.’

25 “Saka vaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Muri kudya nyama ine ropa,+ uye munotarisa kuzvidhori zvenyu zvinosemesa,* uye munoramba muchideura ropa.+ Saka nyika yacho ingava yenyu here? 26 Munovimba nemapakatwa enyu,+ munoita zvinhu zvinosemesa, uye mumwe nemumwe wenyu anorara nemudzimai wemumwe wake.+ Saka nyika yacho ingava yenyu here?”’+

27 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Neupenyu hwangu, vaya vari kugara mumatongo vachaurayiwa nebakatwa; uye ndichaita kuti vaya vari musango vadyiwe nezvikara. Vaya vari munhare* nemumapako vachafa nechirwere.+ 28 Ndichaita kuti nyika yacho ive dongo risina kana chinhu,+ uye ndichaita kuti zvinhu zvavanodada nazvo zviparare, uye makomo eIsraeri achangova masango,+ pasina anopfuura nemo. 29 Vachaziva kuti ndini Jehovha pandichaita kuti nyika yacho ive dongo risina kana chinhu+ nemhaka yezvinhu zvese zvinosemesa zvavakaita.”’+

30 “Mwanakomana wemunhu, vanhu vekwako vari kutaura nezvako mumadziro nemumasuo edzimba.+ Mumwe nemumwe ari kutaura nehama yake achiti, ‘Huya tinzwe shoko rinobva kuna Jehovha.’ 31 Vachauya neuwandu hwavo kuti vagare pamberi pako sekunge kuti vanhu vangu; uye vachanzwa mashoko ako asi havazoaiti.+ Nekuti vanotaura zvekukubata kumeso asi mumwoyo mavo vachikara pfuma yekubiridzira. 32 Inzwa! Wakaita serwiyo rwerudo kwavari, rwiyo runoimbwa nenzwi rakanaka, chiridzwa chine tambo chichiridzwa zvine unyanzvi. Vachanzwa mashoko ako, asi hapana achaita zvaunotaura. 33 Zvinhu izvi zvichatoitika, uye pazvichaitika, vachaziva kuti pakati pavo paiva nemuprofita.”+

34 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, profita pamusoro pevafudzi veIsraeri. Profita, uti kuvafudzi vacho, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Vane nhamo vafudzi veIsraeri+ avo vanongozadza matumbu avo chete! Vafudzi havafaniri kuenda nemakwai kumafuro here?+ 3 Munodya mafuta, uye munopfeka zvakagadzirwa nemvere dzemakwai, muchiuraya zvipfuwo zvakakora kupfuura zvimwe,+ asi musingafudzi makwai acho.+ 4 Hamuna kusimbisa gwai risina simba, hamuna kuporesa rinorwara, hamuna kumonera jira pane riya rakakuvara, hamuna kudzosa rakabva pane mamwe kana kutsvaga rakarasika;+ asi makaaitira utsinye muchiarwadzisa.+ 5 Saka akapararira nekuti akanga asina mufudzi;+ akapararira nenyika uye akadyiwa nezvikara zvesango. 6 Makwai angu aidzungaira mumakomo ese nemuzvikomo zvese zvakakwirira; makwai angu akapararira nenyika yese, pasina anoatsvaga kana anoona kuti ari kupi.

7 “‘“Saka inzwai shoko raJehovha imi vafudzi: 8 ‘“Neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, “makwai angu zvaakava nyama yezvikara, achidyiwa nezvikara zvese zvesango, nekuti akanga asina mufudzi, uye vafudzi vangu zvavasina kutsvaga makwai angu, vachiramba vachingodya vega vasingafudzi makwai angu,”’ 9 inzwai shoko raJehovha imi vafudzi. 10 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kurwisa vafudzi vacho, uye ndichabvunza makwai angu kwavari, uye ndichaita kuti varege kufudza makwai angu,+ uye vafudzi vacho havazodyizve vega. Ndichanunura makwai angu pamiromo yavo, uye havazoadyi zvakare.’”

11 “‘Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri pano uye ndichatsvaga makwai angu ndega uye ndichaachengeta.+ 12 Ndichachengeta makwai angu semufudzi anofudza makwai ake anga akapararira.+ Ndichaanunura kubva kunzvimbo dzese dzaakapararira pazuva remakore nerima gobvu.+ 13 Ndichaatora pakati pemarudzi, ndoaunganidza kubva kunyika dzacho, ndoaendesa kunyika yawo uye ndichaafudza mumakomo eIsraeri,+ pedyo nehova uye pedyo nenzvimbo dzese dzekugara dzenyika yacho. 14 Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye achafura mumakomo marefu eIsraeri.+ Acharara imomo mumafuro akanaka,+ uye achafura mumafuro akasvibirira mumakomo eIsraeri.”

15 “‘“Ndichafudza makwai angu+ ndega, uye ndichaazorodza,”+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 16 “Ndichatsvaga rakarasika,+ ndichadzosa rakabva pane mamwe, ndichamonera jira pane rakakuvara, uye ndichasimbisa risina simba. Asi ndichaparadza akakora neakasimba ndoita kuti mutongo uve zvekudya zvawo.”

17 “‘Zvino imi makwai angu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndava kuda kupa mutongo pakati pegwai negwai, uye pakati pemakondohwe nenhongo.+ 18 Zvamuri kuita zvekufura mumafuro akanakisisa zvishoma here? Mava kutowedzera pane izvozvo nekutsika-tsika mamwe mafuro enyu ese. Uye munoti kana mapedza kunwa mvura yakachena, munoitsika-tsika yosara yasviba. 19 Zvino makwai angu ndiwo anofanira kufura mumafuro akatsikwa-tsikwa netsoka dzenyu uye kunwa mvura yakasvibiswa netsoka dzenyu here?”

20 “‘Saka Changamire Ishe Jehovha ati kwavari: “Ndiri pano, uye ndichapa mutongo pakati pegwai rakakora negwai rakaonda, 21 nekuti makaramba muchiasundidzira nerutivi uye nebendekete uye makaramba muchitunga anorwara ese kusvikira apararira achienda kure. 22 Ndichaponesa makwai angu, haazodyiwi nezvikara;+ uye ndichapa mutongo wakarurama pakati pegwai negwai. 23 Ndichaapa mufudzi mumwe chete,+ iye mushumiri wangu Dhavhidhi,+ uyo achaafudza. Achaaendesa kumafuro, uye achava mufudzi wawo.+ 24 Uye ini Jehovha ndichava Mwari wavo,+ uye mushumiri wangu Dhavhidhi achava jinda pakati pavo.+ Ini, Jehovha, ndataura.

25 “‘“Ndichaita sungano yerugare navo,+ uye ndichabvisa zvikara zvinotyisa munyika yacho,+ kuti vagare murenje vasina chekutya uye varare mumasango.+ 26 Ndichaita kuti vave chikomborero,+ ivo nenzvimbo yakapoteredza chikomo changu, uye ndichaita kuti mvura inaye panguva yayo. Makomborero achanaya semvura.+ 27 Miti yesango ichabereka, uye ivhu richabereka zvibereko zvaro,+ uye vachagara munyika yacho vasina chekutya. Vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatyora majoko+ avo ndovanunura mumaoko evaya vaivaita varanda. 28 Havazooneswi nhamo nemarudzi kana kudyiwa nezvikara zvepanyika, uye vachagara zvakanaka, pasina anovatyisa.+

29 “‘“Ndichavadyarira munda wezvirimwa une mbiri, uye havazofizve nenzara munyika yacho,+ uye havazonyadziswizve nemarudzi.+ 30 ‘VaIsraeri vachabva vaziva kuti ini Jehovha Mwari wavo ndinavo, uye kuti ivo vanhu vangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’

31 “‘Zvino imi makwai angu,+ makwai andinochengeta, munongova vanhu uye ini ndini Mwari wenyu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

35 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kunyika ine makomo yeSeiri,+ uprofite nezvayo.+ 3 Iudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa, iwe nyika ine makomo yeSeiri, uye ndichakutambanudzira ruoko rwangu ndoita kuti uve dongo risina chinhu.+ 4 Ndichaita kuti maguta ako ave matongo, wosara usina kana chinhu;+ uye uchaziva kuti ndini Jehovha. 5 Nekuti wakaratidza ruvengo rwakanyanya+ uye wakaita kuti vaIsraeri vaparadzwe nebakatwa pavakasangana nedambudziko, pavakarangwa kekupedzisira.”’+

6 “‘Saka neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndichaita kuti ropa rako rideurwe, uye rufu ruchakutevera.+ Wakaita kuti ropa revaya vawaivenga rideurwe, saka ropa rako richadeurwawo.+ 7 Ndichaita kuti nyika ine makomo yeSeiri ive dongo risina chinhu,+ uye ndichaparadza munhu anopfuura nemairi nemunhu anodzoka nemairi. 8 Ndichazadza makomo ayo nezvitunha; uye zvitunha zvevanenge vaurayiwa nebakatwa zvichati katakata muzvikomo zvayo, nemumipata yayo, nemuhova dzayo dzese. 9 Ndichaita kuti ugare uri dongo uye maguta ako haazogarwi;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’

10 “Wakati, ‘Marudzi maviri aya nenyika mbiri idzi zvichava zvangu, uye ndichazvitora zvese,’+ kunyange zvazvo Jehovha aiva pakati pemarudzi acho, 11 ‘saka neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndichakuitira zvinoenderana nehasha dzako negodo rako zvawakavaratidza nemhaka yeruvengo rwako;+ uye ndichaita kuti vandizive pandichakutonga. 12 Uchabva waziva kuti ini Jehovha ndakanzwa zvese zvawaitaura uchizvidza makomo eIsraeri uchiti, “Aitwa matongo uye taapiwa kuti tiaparadze.” 13 Makandishora muchizvikudza uye makataura zvakaipa zvizhinji nezvangu.+ Ndakazvinzwa zvese.’

14 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nyika yese ichapembera nemufaro pandichaita kuti uve dongo risina chinhu. 15 Wakapembera nemufaro pakaparadzwa nhaka yeimba yaIsraeri, saka ndichakuitirawo izvozvo.+ Uchava dongo risina chinhu, iwe Edhomu yese+ zvayo, nyika ine makomo yeSeiri; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

36 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, profita nezvemakomo eIsraeri, uti, ‘Inzwai shoko raJehovha imi makomo eIsraeri. 2 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Muvengi ati kwamuri, ‘Tsvatu waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzatovawo dzedu!’”’+

3 “Saka profita, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Nemhaka yekuti vakakurwisai vachibva kumativi ese vakakusiyai musina chinhu, kuti mugarwe nevanhu vemamwe marudzi vakapona uye nemhaka yekuti vanhu vari kuramba vachitaura nezvenyu, vachisvibisa zita renyu,+ 4 inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha imi makomo eIsraeri! Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nemipata, kunzvimbo dzakaitwa matongo,+ uye kumaguta asisina vanhu ayo akapambwa uye akasekwa nevanhu vakapona vemarudzi akapoteredza;+ 5 zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kune zvese izvi: ‘Ndichataura ndakashatirwa+ ndichitonga vanhu vemamwe marudzi vakapona, pamwe chete neEdhomu yese, vaya vakati nyika yangu ndeyavo vachifara chaizvo uye vachinyomba,+ kuti vatore mafuro ayo uye kuti vaipambe.’”’+

6 “Saka profita pamusoro penyika yeIsraeri, uti kumakomo nezvikomo, uye kuhova nemipata, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Inzwai! ndichataura ndiine shungu uye ndakashatirwa, nekuti imi makanyadziswa nemarudzi.”’+

7 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndasimudza ruoko rwangu ndichipika kuti marudzi akakupoteredzai ndiwo achanyadziswa.+ 8 Asi imi makomo eIsraeri, muchava nemapazi, moberekera vanhu vangu vaIsraeri michero,+ nekuti vava pedyo nekudzoka. 9 Nekuti ndinemi uye ndichatendeuka ndokubatsirai, uye imi mucharimwa modyarwa mbeu. 10 Ndichaita kuti vanhu venyu vawande, vanhu veimba yese yaIsraeri; maguta achagarwa+ uye matongo achavakwazve.+ 11 Ndichaita kuti vanhu venyu vawande, pamwe chete nezvipfuwo zvenyu;+ vachaberekana vowanda. Ndichaita kuti mugarwe sezvamaimboitwa,+ ndoita kuti mubudirire kupfuura zvamaiva kare;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+ 12 Ndichaita kuti vanhu vangu vaIsraeri vafambe mamuri, uye vachakutorai kuti muve nyika yavo.+ Muchava nhaka yavo, uye hamuzomboiti kuti vanhu vanogara mamuri vasava nevana.’”+

13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Vari kuti kwamuri, “Uri nyika inodya vanhu uye unouraya vana vemarudzi anogara mauri,”’ 14 ‘saka iwe hauzodyizve vanhu kana kuita kuti marudzi ako asava nevana,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 15 ‘Handichazokuregizve uchitukwa nemarudzi kana kushorwa nevanhu,+ uye hauzoitizve kuti marudzi ako atsauke,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

16 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 17 “Mwanakomana wemunhu, vaIsraeri pavaigara munyika yavo, vakaisvibisa nenzira dzavo uye nezvavakaita.+ Kwandiri, nzira dzavo dzakanga dzisina kuchena semukadzi ari kumwedzi.+ 18 Saka ndakavadururira hasha dzangu nemhaka yeropa ravakanga vadeura munyika yacho,+ uye nekuti vakanga vasvibisa nyika yacho nezvidhori zvavo zvinosemesa.*+ 19 Ndakavaendesa kune mamwe marudzi uye ndakaita kuti vapararire nenyika.+ Ndakavatonga zvaienderana nenzira dzavo uye zvaienderana nezvavakaita. 20 Asi pavakasvika kumarudzi acho, vanhu vakasvibisa zita rangu dzvene+ pavakataura nezvavo vachiti, ‘Vanhu ava ndevaJehovha, asi vakabudiswa munyika yake.’ 21 Saka ndichafunga nezvezita rangu dzvene, rakasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pemarudzi avakaenda kwaari.”+

22 “Saka udza imba yaIsraeri kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Imi imba yaIsraeri, handisi kuzviitira imi, asi ndiri kuzviitira zita rangu dzvene, ramakasvibisa kumarudzi amakaenda kwaari.”’+ 23 ‘Ndichatsvenesa zita rangu guru,+ rakasvibiswa pakati pemarudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pawo. Marudzi achaziva kuti ndini Jehovha,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha,+ ‘pandichatsveneswa pakati penyu marudzi acho achiona. 24 Ndichakubvisai kumarudzi uye ndichakuunganidzai kubva kunyika dzese, ndokudzosai munyika yenyu.+ 25 Ndichakusasai mvura yakachena, mochena;+ ndichakuchenesai pazvinhu zvese zvisina kuchena+ uye pazvidhori zvenyu zvese zvinosemesa.+ 26 Ndichakupai mwoyo mutsva,+ uye ndichaita kuti muve nemweya mutsva.+ Ndichabvisa mwoyo wedombo+ mumiviri yenyu ndokupai mwoyo wenyama.* 27 Ndichaisa mweya wangu mamuri, uye ndichaita kuti mufambe mumirau yangu,+ uye muchachengeta mitongo yangu nekuita zviri mairi. 28 Muchabva magara munyika yandakapa madzitateguru enyu. Muchava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wenyu.’+

29 “‘Ndichabvisa zvese zvisina kuchena pamuri, ndoudza zviyo* kuti zviwande, uye handizounzi nzara pamuri.+ 30 Ndichaita kuti miti ibereke chaizvo uye kuti minda ive negoho rakakura, kuti murege kusekwazve nemarudzi nemhaka yenzara.+ 31 Muchabva mayeuka nzira dzenyu dzakaipa nemabasa enyu akaipa, uye muchazviona sevanhu vanosemesa nekuda kwemhosva yenyu uye mabasa enyu anosemesa.+ 32 Asi zivai izvi: Zvinhu izvi handisi kuzviitira imi,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Imi nyarai, mushaye pekupinda nenyadzi nemhaka yenzira dzenyu, imi imba yaIsraeri.’

33 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Pazuva randichakuchenesai pamhosva yenyu, ndichaita kuti maguta agarwe+ uye kuti matongo avakwezve.+ 34 Nyika yaionekwa iri dongo nemunhu wese aipfuura nemairi icharimwa. 35 Vanhu vachati: “Nyika iya yaiva dongo yaita semunda weEdheni,+ uye maguta aya akanga ava matongo, asisina vanhu, uye aputswa, iye zvino akomberedzwa nemasvingo uye ava kugarwa.”+ 36 Uye marudzi akasara kumativi enyu ese achaziva kuti ini Jehovha, ndavaka zvinhu zvakanga zvaputswa, uye ndadyara munyika yakanga isina chinhu. Ini Jehovha, ndataura uye ndazviita.’+

37 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaitawo kuti vaIsraeri vandikumbire kuti vawande sedanga remakwai, uye ndichanzwa chikumbiro chavo. 38 Maguta aiva matongo achava nevanhu vazhinji vakaita seboka revatsvene, seboka revanhu vemuJerusarema* panguva yemitambo yaro;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

37 Ruoko rwaJehovha rwaiva pandiri, uye Jehovha akandisimudza nemweya wake, akandiisa pakati pebani+ rakanga rizere nemapfupa. 2 Akaita kuti ndifambe ndichiona kwese kwaiva nemapfupa acho, ndikaona kuti akanga akawanda chaizvo mubani racho, uye akanga akaoma chaizvo.+ 3 Akandibvunza kuti: “Mwanakomana wemunhu, mapfupa aya angavazve mapenyu here?” Ini ndikati: “Changamire Ishe Jehovha, ndimi munoziva.”+ 4 Saka akati kwandiri: “Profita kumapfupa aya, uti kwaari, ‘Inzwai shoko raJehovha imi mapfupa akaoma:

5 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kwamuri imi mapfupa: “Ndichaita kuti mweya wekufema uve mamuri, uye muchava vapenyu.+ 6 Ndichaisa marunda* nenyama pamuri, uye ndichakuisai ganda pamusoro, ndoisa mweya wekufema mamuri mova vapenyu; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”

7 Ndakabva ndaprofita sezvandakanga ndarayirwa. Pandakangoprofita, pakanzwika ruzha rwezvinhu zviri kurovana-rovana, uye mapfupa acho akatanga kubatana, pfupa richibatana nerimwe pfupa. 8 Ndakabva ndaona marunda nenyama zvichienda paari, achibva avharwa neganda. Asi akanga asati ava nemweya wekufema.

9 Akabva ati kwandiri: “Profita kumhepo. Mwanakomana wemunhu, profita uti kumhepo, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Iwe mhepo,* uya uchibva kumativi mana,* ufuridze vanhu ava vakaurayiwa, kuti vavezve vapenyu.”’”

10 Saka ndakaprofita sezvaakanga andiudza, uye mweya wekufema wakapinda mavari vakatanga kurarama uye vakabva vasimuka.+ Vaiva uto rakakura kwazvo.

11 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, imba yaIsraeri yese ndiyo mapfupa aya.+ Ivo vari kuti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro.+ Tabviswa pane vamwe tikaiswa kwedu tega.’ 12 Saka profita, uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Imi vanhu vangu, ndichavhura makuva enyu,+ ndokumutsai imomo, ndokuendesai kunyika yeIsraeri.+ 13 Imi vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha pandichavhura makuva enyu uye pandichakumutsai mobuda imomo.”’+ 14 ‘Ndichaisa mweya wangu mamuri, mova vapenyu,+ uye ndichakugarisai munyika yenyu. Muchaziva kuti ini Jehovha ndataura uye ndazviita,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

15 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 16 “Mwanakomana wemunhu, tora katanda ukanyore kuti, ‘Katanda kaJudha nevanhu veIsraeri vaainavo.’+ Ubve watora kamwe katanda ukanyore kuti, ‘Katanda kaJosefa, iko katanda kaEfremu, neveimba yese yaIsraeri vaainavo.’+ 17 Ubve watubatanidza kuti tuve katanda kamwe chete muruoko rwako.+ 18 Vanhu vekwako pavachati kwauri, ‘Tiudzewo kuti zvinhu izvi zvinorevei,’ 19 uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatora katanda kaJosefa kari muruoko rwaEfremu nemadzinza aIsraeri aainawo, uye ndichavabatanidza nekatanda kaJudha; uye ndichaita kuti kave katanda kamwe chete,+ uye vachava vamwe chete muruoko rwangu.”’ 20 Tutanda twauchanyora tunofanira kuva muruoko rwako kuti ivo vatuone.

21 “Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatora vaIsraeri kubva kumarudzi avakaenda uye ndichavaunganidza kubva kumativi ese ndovaunza kunyika yavo.+ 22 Ndichaita kuti vave rudzi rumwe chete munyika yacho,+ mumakomo eIsraeri, uye vachatongwa namambo mumwe chete,+ havazorambi vari marudzi maviri; uye havazorambi vari umambo huviri.+ 23 Havazozvisvibisi nezvidhori zvavo zvinosemesa* uye nemabasa avo anonyangadza nekutadza kwavo kwese.+ Ndichaita kuti kusatendeka kwavo kwese kwavakaita vachinditadzira kupere, uye ndichavachenesa. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.+

24 “‘“Mushumiri wangu Dhavhidhi achava mambo wavo,+ uye vese vachava nemufudzi mumwe chete.+ Vachafamba mumitongo yangu uye vachachengeta mirau yangu yese.+ 25 Vachagara munyika yandakapa mushumiri wangu Jakobho, maigara madzitateguru enyu,+ uye vachagara mairi nekusingaperi,+ ivo nevana vavo nevazukuru vavo;+ uye mushumiri wangu Dhavhidhi achava jinda ravo nekusingaperi.+

26 “‘“Ndichaita sungano yerugare navo;+ ichava sungano inogara nekusingaperi. Ndichavaisa imomo, ndoita kuti vawande,+ ndoita kuti nzvimbo yangu tsvene ive pakati pavo nekusingaperi. 27 Tende rangu richava* pakati* pavo, uye ndichava Mwari wavo ivo vova vanhu vangu.+ 28 Nzvimbo yangu tsvene paichava pakati pavo nekusingaperi, marudzi achaziva kuti ini, Jehovha, ndiri kutsvenesa Israeri.”’”+

38 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa Gogi wenyika yeMagogi wakatsamwa,+ iro jinda guru reMesheki neTubhari,+ uprofite kwaari.+ 3 Uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa, iwe Gogi, jinda guru reMesheki neTubhari. 4 Ndichakutendeudza ndoisa zvirauro mushaya dzako,+ ndokubudisa iwe neuto rako rese,+ mabhiza nevatasvi vemabhiza avo vakapfeka zvakanaka kwazvo, vanhu vazhinji vane nhoo huru nenhoo diki,* nemapakatwa; 5 pamwe chete nevaPezhiya, nevanhu veItiopiya nePuti,+ avo vane nhoo diki nengowani; 6 uye Gomeri nemauto ayo ese, neimba yaTogama+ iyo iri kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe, nemauto ayo ese. Ndichakubudisa iwe nemarudzi aya mazhinji auinawo.+

7 “‘“Gadzirira uye mauto ako ese auinawo ngaagadzirirewo, uye iwe uchava mutungamiriri* wavo.

8 “‘“Ndichafunga nezvako papera mazuva mazhinji. Mumakore ekupedzisira uchapinda nechisimba munyika yevanhu vakadzoswa avo vakanunurwa pabakatwa, vakaunganidzwa kubva kumarudzi mazhinji vakaiswa mumakomo eIsraeri, ayo akanga ava nenguva aparadzwa. Vagari vemunyika yacho vakadzoswa vachibva kune mamwe marudzi uye vese vagere zvakanaka.+ 9 Uchauya sedutu kuzovarwisa, uye uchazadza nyika yacho semakore, iwe nemauto ako ese nemarudzi mazhinji auinawo.”’

10 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Zuva iroro pane pfungwa dzichauya mumwoyo mako, uye ucharuka zano rakaipa. 11 Uchati: “Ndichapinda nechisimba munyika ine misha* isina chinoidzivirira.+ Ndichaenda kunorwisa vaya vagere zvakanaka, vasina chinovanetsa, ivo vese vanogara mumisha isina kukomberedzwa nemasvingo, isina mazariro* kana magedhi.” 12 Uchazviita nechinangwa chekupamba zvinhu zvakawanda, uye kurwisa nzvimbo dzakaparadzwa dzava kugarwazve.+ Uchazviita kuti urwise rudzi runogara pakati penyika urwo rwakaunganidzwa kubva kune mamwe marudzi,+ uye ruri kuunganidza pfuma.+

13 “‘Shebha+ neDhedhani+ nevatengesi vekuTashishi+ nevarwi vayo vese* vachati kwauri: “Uri kupinda munyika kuti upambe zvinhu zvizhinji here? Waunganidza mauto ako kuti utakure sirivha negoridhe, nepfuma, uchipamba zvinhu zvizhinji here?”’

14 “Saka iwe mwanakomana wemunhu, profita uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zuva iroro, uchaziva kuti vanhu vangu vaIsraeri vari kugara zvakanaka, vasina chekutya.+ 15 Uchauya uchibva kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe kwaunogara,+ iwe nemarudzi mazhinji auinawo. Marudzi acho ese iuto guru rakatasva mabhiza, uye iungano huru.+ 16 Uchauya kuzorwisa vanhu vangu vaIsraeri wakaita semakore akafukidza nyika. Mumazuva ekupedzisira* ndichaita kuti iwe Gogi uuye kuzorwisa nyika yangu,+ kuti marudzi andizive pandichazvitsvenesa nezvandichaita kwauri iwo akatarisa.”’+

17 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Hausi iwe here wandakataura nezvake kare kare ndichishandisa vashumiri vangu, ivo vaprofita veIsraeri, avo vakaprofita kwemakore akawanda kuti ndichakuunza kuzovarwisa?’

18 “‘Zuva iroro, iro zuva richapinda Gogi munyika yeIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘hasha dzangu dzichatutuma.+ 19 Ndichataura ndiine shungu, ndakashatirwa; uye zuva iroro munyika yeIsraeri muchava nekudengenyeka kukuru. 20 Ndichadederesa hove dzemugungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, zvinhu zvese zvinokambaira panyika, nevanhu vese vari panyika. Ndichaita kuti makomo awire pasi uye kuti nzvimbo dzine mawere dziwe,+ uye ndichakoromora masvingo ese.’

21 “‘Ndichaita kuti bakatwa rimurwise mumakomo angu ese,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Murume mumwe nemumwe acharwisa hama yake nebakatwa.+ 22 Ndichaita zvandakamutongera, ndichaunza denda+ paari uye pachava nekudeurwa kweropa. Ndichaita kuti iye nemauto ake nemarudzi mazhinji aainawo+ vanayiwe nemvura ine simba nechimvuramabwe,+ nemoto+ nesarufa.+ 23 Ndicharatidza ukuru hwangu uye ndichazvitsvenesa pamberi pamarudzi mazhinji, ndoita kuti andizive. Vachaziva kuti ndini Jehovha.’

39 “Iwe mwanakomana wemunhu, profita pamusoro paGogi,+ umuudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa, iwe Gogi, jinda guru reMesheki neTubhari.+ 2 Ndichakutendeudza ndokutungamirira, ndoita kuti uuye uchibva kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe,+ ndokuendesa kumakomo eIsraeri. 3 Ndicharova uta huri muruoko rwako rweruboshwe hwodonhera pasi, uye ndichaita kuti miseve yawakabata neruoko rwako rwerudyi iwire pasi. 4 Uchafira mumakomo eIsraeri,+ iwe nemauto ako ese nemarudzi auchange uinawo. Ndichaita kuti uve chikafu cheshiri dzese dzinodya nyama uye chezvikara zvesango.”’+

5 “‘Uchafira musango,+ nekuti ini ndazvitaura,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

6 “‘Ndichatuma moto kuna Magogi nekune vaya vagere zvakanaka muzvitsuwa,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha. 7 Ndichaita kuti zita rangu dzvene rizivikanwe nevanhu vangu vaIsraeri, uye handizoregizve richisvibiswa; uye marudzi achaziva kuti ndini Jehovha,+ iye Mutsvene muna Israeri.’+

8 “‘Zvichatouya uye zvichaitika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Iri ndiro zuva randakataura nezvaro. 9 Vagari vemumaguta eIsraeri vachaenda vobatidza moto vachishandisa zvombo zvinoti, nhoo diki* nenhoo huru, neuta nemiseve, netsvimbo dzehondo,* nemapfumo marefu. Uye vachazvibatidzisa moto+ kwemakore manomwe. 10 Havazotori huni kusango, kana kutsvaga huni mumasango nekuti vachabatidza moto vachishandisa zvombo zvacho.’

“‘Vachatora zvinhu zvevaya vaimbovatorera zvinhu, uye vachapamba zvinhu zvevaya vaivapamba,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

11 “‘Pazuva iroro ndichapa Gogi+ nzvimbo yemakuva muIsraeri imomo, mubani revaya vanofamba vachienda kumabvazuva kwegungwa, uye richavhara nzira inopfuura nevanhu. Imomo ndimo mavachaviga Gogi nemapoka makuru evanhu vake, uye vacharitumidza kuti Bani raHamoni-Gogi.*+ 12 Imba yaIsraeri ichaita mwedzi minomwe ichivaviga kuti ichenese nyika.+ 13 Vanhu vese vemunyika yacho vachava nebasa rekuvaviga, uye izvi zvichaita kuti vave nemukurumbira pazuva randichaita kuti ndikudzwe,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

14 “‘Pane varume vachasarudzwa kuti vagare vachitenderera nenyika yacho vachiviga zvitunha zvichasara panyika, kuti vachenese nyika yacho. Vacharamba vachitsvaga zvitunha zvacho kwemwedzi minomwe. 15 Kana vaya vanopfuura nemunyika yacho vakaona pfupa remunhu, vachaisa mucherechedzo pedyo naro. Vaya vanoita basa rekuviga zvitunha vachabva variviga muBani raHamoni-Gogi.+ 16 Uyewo imomo muchava neguta rinonzi Hamona.* Ivo vachachenesa nyika yacho.’+

17 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Udza shiri dzemarudzi ese nezvikara zvese zvesango kuti, “Unganai, muuye. Unganai pachibayiro changu chandiri kukubayirai, chibayiro chikuru mumakomo eIsraeri.+ Muchadya nyama uye muchanwa ropa.+ 18 Muchadya nyama yevane simba uye muchanwa ropa remachinda epanyika, izvo zvipfuwo zvese zvakakodzwa zvekuBhashani zvinoti makondohwe, makwayana, mbudzi uye mikono yemombe. 19 Muchadya mafuta kusvikira maguta pachibayiro chandichakugadzirirai uye muchanwa ropa kusvikira madhakwa.”’

20 “‘Muchadya vatyairi vengoro nemabhiza patafura yangu, uye muchadya vanhu vane simba nemhando dzese dzevarwi kusvikira maguta,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

21 “‘Ndichaita kuti marudzi aone ukuru hwangu, uye marudzi ese achaona kuti ndaita zvandakaatongera uye kuti ndaratidza simba rangu pakati pawo.+ 22 Kubva zuva iroro, vanhu veimba yaIsraeri vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo. 23 Marudzi achaziva kuti vanhu veimba yaIsraeri vakatapwa nemhaka yekutadza kwavo, nekuti vakanga vasina kutendeka kwandiri.+ Ndokusaka ndakavavanzira chiso changu,+ ndikavaisa mumaoko evavengi vavo,+ uye vese vakaurayiwa nebakatwa. 24 Ndakavaitira zvinoenderana nekusachena kwavo uye zvinoenderana nekutadza kwavo, uye ndakavavanzira chiso changu.’

25 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichadzosa vanhu vaJakobho+ vakatapwa ndonzwira imba yese yaIsraeri tsitsi;+ uye ndichashingaira pakurwira zita rangu dzvene.+ 26 Kana kunyadziswa kwavo nemhaka yekusatendeka kwavo kwese kwavakandiitira kwapera,+ vachagara munyika yavo vakachengeteka, pasina anovatyisa.+ 27 Pandichavadzosa kubva kune mamwe marudzi, ndovaunganidza kubva kunyika dzevavengi vavo,+ ndichazvitsvenesawo pakati pavo, marudzi mazhinji akatarisa.’+

28 “‘Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, pandichaita kuti vatapwe nemamwe marudzi, ndobva ndavadzosa kunyika yavo, pasina wandinosiya.+ 29 Handizovavanziri chiso changu,+ nekuti ndichadurura mweya wangu paimba yaIsraeri,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

40 Mugore rechi25 tiri nhapwa,+ pazuva rechi10 remwedzi wekutanga, mugore rechi14 kubva pakaparadzwa guta,+ pazuva iroro ruoko rwaJehovha rwaiva pandiri, uye akandiendesa kuguta racho.+ 2 Muchiratidzo chaakandionesa, Mwari akandiendesa kunyika yeIsraeri, akandiisa pagomo refu refu+ paiva nechivakwa chakaita seguta kumaodzanyemba.

3 Paakandiendesa ipapo, ndakaona murume aipenya semhangura.+ Aiva akabata tambo yemufurakisi* netsanga yekuyeresa,*+ uye akanga akamira pagedhi. 4 Murume wacho akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, nyatsotarisa, nyatsoteerera, uye pfungwa dzako ngadzive pane zvese zvandichakuratidza, nekuti ndizvo zvawaunzirwa pano. Udza imba yaIsraeri zvese zvauri kuona.”+

5 Ndakaona rusvingo rwaiva rwakapoteredza temberi.* Murume wacho aiva akabata tsanga yekuyeresa yainge yakareba makubhiti 6 (kubhiti rimwe nerimwe rainge rakawedzerwa urefu hweupamhi hwechanza).* Akatanga kuyera rusvingo rwacho uye upamhi hwarwo hwaiva tsanga imwe chete, rwakareba tsanga imwe chete.

6 Akabva aenda pagedhi raiva rakatarisa kumabvazuva,+ akakwira nemasitepisi aro. Akayera chidimbati* chegedhi racho achipinda mukati uye chaiva chakafara tsanga imwe chete, uye chimwe chacho chaiva chakafarawo tsanga imwe chete. 7 Imba imwe neimwe yevarindi yakanga yakareba tsanga imwe chete uye yakafara tsanga imwe chete, uye dzimba dzacho dzainge dzakaparadzana nemakubhiti mashanu.+ Chidimbati chegedhi racho icho chaiva pedyo nevharanda rainge rakatarisa mukati chaiva chakafara tsanga imwe chete.

8 Akayera vharanda regedhi racho iro raiva kudivi remukati rikaita tsanga imwe chete. 9 Akabva ayera vharanda regedhi racho, iro raiva makubhiti 8; uye akayera mbiru dzaro dzemumativi dzikaita makubhiti maviri. Vharanda regedhi racho raiva kudivi rakatarisa mukati.

10 Mugedhi rekumabvazuva maiva nedzimba nhatu dzevarindi kune rimwe divi nedzimwe nhatu kune rimwe divi. Dzimba dzacho nhatu dzakanga dzakaenzana uye mbiru dzaiva mumativi acho maviri dzakanga dzakaenzana.

11 Akabva ayera kufara kwesuo regedhi racho, rikaita makubhiti 10; uye gedhi racho rese rakanga rakafara makubhiti 13.

12 Kachikamu kaiva pamberi peimba yevarindi imwe neimwe kaiva kubhiti rimwe chete. Imba imwe neimwe yevarindi yaiva kumativi acho maviri yaiva yakafara makubhiti 6.

13 Akabva ayera gedhi racho kubvira padenga reimwe imba yevarindi* kusvika padenga reimwe yacho, uye paiva pakafara makubhiti 25. Masuo edzimba dzevarindi dzekune rimwe divi akanga akanangana nemasuo ekune rimwe divi.+ 14 Akabva ayera mbiru dzemumativi, idzo dzaiva dzakareba makubhiti 60. Akayerawo mbiru dzemumativi dzaiva mumagedhi aiva kumativi ese echivanze. 15 Kubva panotangira gedhi racho kusvika panoperera vharanda kudivi remukati megedhi racho paiva nemakubhiti 50.

16 Dzimba dzevarindi nembiru dzadzo dzemumativi, izvo zvaiva kumativi ese mugedhi racho, zvaiva nemahwindo aiva nemafuremu aienda achiita madiki.+ Mumavharanda acho maivawo nemahwindo kumativi ese, uye pambiru dzemumativi paiva nemifananidzo yemichindwe.+

17 Akabva andiendesa muchivanze chekunze, uye ndakaona dzimba dzekudyira,+ nenzvimbo yakawaridzwa matombo yaitenderera chivanze chacho. Panzvimbo yacho paiva nedzimba 30 dzekudyira. 18 Nzvimbo yaiva mumativi emagedhi acho, iyo yainge yakawaridzwa matombo, yainge yakafara zvakaenzana nemativi marefu emagedhi acho. Nzvimbo iyi yakanga yakadzikira kupfuura chivanze chemukati.

19 Akabva ayera kubva pamberi pegedhi raiva pakadzikira kusvika paitangira chivanze chemukati. Paiva nemakubhiti 100 kumabvazuva uye makubhiti 100 kuchamhembe.

20 Chivanze chekunze chaiva negedhi rakanga rakatarisa kuchamhembe, uye akayera kufara kwaro nedivi raro refu. 21 Paiva nedzimba dzevarindi nhatu kumativi aro ese. Mbiru dzaro dzemumativi nevharanda racho zvakanga zvakangoenzana nezvegedhi rekutanga. Rakanga rakafara makubhiti 25 uye divi raro refu raiva makubhiti 50. 22 Mahwindo aro, vharanda raro, nemifananidzo yacho yemichindwe+ zvakanga zvakaenzana nezvegedhi rekumabvazuva. Paiva nemasitepisi 7 ekuti munhu asvike pariri uye vharanda raro raiva pamberi pawo.

23 Paiva negedhi raiva muchivanze chemukati rakanga rakatarisana negedhi rekuchamhembe nerimwe raiva rakatarisana nerekumabvazuva. Akayera kubva pagedhi kusvika pane rimwe gedhi rainge rakatarisana naro uye pakanga pakareba makubhiti 100.

24 Akazondiendesa kumaodzanyemba, uye ndakaona gedhi raiva kumaodzanyemba.+ Akayera mbiru dzaro dzemumativi nevharanda raro uye zvakanga zvakaenzana nezvimwe. 25 Raiva nemahwindo kumativi aro ese nepavharanda raro, uye mahwindo acho akanga akafanana nemamwe. Rakanga rakafara makubhiti 25 uye divi raro refu raiva makubhiti 50. 26 Paiva nemasitepisi 7 aikwidza kwariri,+ uye vharanda raro raiva pamberi pawo. Raiva nemifananidzo yemichindwe pambiru dzaro dzemumativi, divi rimwe nerimwe riine mufananidzo mumwe chete.

27 Chivanze chemukati chaiva negedhi rakatarisa kumaodzanyemba; akayera kubva pagedhi racho kusvika pane rimwe gedhi rekumaodzanyemba uye pakanga pakareba makubhiti 100. 28 Akazondipinza muchivanze chemukati nepagedhi remukati rekumaodzanyemba. Akayera gedhi racho uye raiva rakaenzana nemamwe. 29 Dzimba dzaro dzevarindi nembiru dzaro dzemumativi nevharanda raro zvakanga zvakaenzana nezvimwe. Raiva nemahwindo kumativi aro ese nepavharanda raro. Rakanga rakafara makubhiti 25 uye divi raro refu raiva makubhiti 50.+ 30 Kumativi ese kwaiva nemavharanda; akanga akafara makubhiti 25, achipinda mukati nemakubhiti 5. 31 Vharanda raro raiva rakatarisa chivanze chekunze, uye pambiru dzaro+ dzemumativi paiva nemifananidzo yemichindwe, uye paiva nemasitepisi 8 aikwidza kwariri.+

32 Paakandipinza muchivanze chemukati nekumabvazuva, akayera gedhi racho uye rakanga rakaenzana nemamwe. 33 Dzimba dzaro dzevarindi nembiru dzaro dzemumativi nevharanda raro zvakanga zvakaenzana nezvimwe uye raiva nemahwindo kumativi aro ese nepavharanda raro. Rakanga rakafara makubhiti 25 uye divi raro refu raiva makubhiti 50. 34 Vharanda raro raiva rakatarisa chivanze chekunze, uye pambiru dzemumativi aro maviri paiva nemifananidzo yemichindwe, uye paiva nemasitepisi 8 aikwidza kwariri.

35 Akabva andipinza mugedhi rekuchamhembe+ akariyera; uye raiva rakaenzana nemamwe. 36 Dzimba dzaro dzevarindi nembiru dzaro dzemumativi nevharanda raro zvakanga zvakaenzana nezvimwe. Raiva nemahwindo kumativi aro ese. Rakanga rakafara makubhiti 25 uye divi raro refu raiva makubhiti 50. 37 Mbiru dzaro dzemumativi dzaiva dzakatarisa chivanze chekunze, uye mbiru dzaro dzemumativi dzaiva nemifananidzo yemichindwe, uye paiva nemasitepisi 8 aikwidza kwariri.

38 Pedyo nembiru dzemumativi dzegedhi racho paiva neimba yekudyira yaiva nesuo, uye imomo ndimo maisukirwa zvibayiro zvinopiswa.+

39 Muvharanda regedhi rekuchamhembe maiva nematafura maviri kurudyi nemamwe maviri kuruboshwe ekuurayira zvibayiro zvinopiswa+ nezvibayiro zvechivi+ nezvibayiro zvemhosva.+ 40 Usati wapinda pagedhi racho rekuchamhembe, paiva nematafura maviri kurudyi uye matafura maviri kuruboshwe. 41 Divi rimwe nerimwe regedhi racho raiva nematafura mana, ese pamwe chete ari 8. Pamatafura acho ndipo paiurayirwa zvibayiro. 42 Matafura mana ekuurayira chibayiro chinopiswa ainge akagadzirwa nematombo akavezwa. Akanga akareba kubhiti rimwe chete nehafu, akafara kubhiti rimwe chete nehafu, uye akakwirira kubhiti rimwe chete. Midziyo yaishandiswa kuuraya mhuka dzezvibayiro zvinopiswa nedzezvimwe zvibayiro yaichengeterwa paari. 43 Madziro ese emukati aiva nemasherufu ainge akaenzana neupamhi hwechanza; uye nyama yemhuka dzaipiwa yaiiswa pamatafura acho.

44 Kunze kwegedhi remukati kwaiva nedzimba dzekudyira dzevaimbi;+ dzaiva muchivanze chemukati pedyo negedhi rekuchamhembe uye dzakanga dzakatarisa kumaodzanyemba. Paiva neimwe imba yekudyira yaiva yakatarisa kuchamhembe, pedyo negedhi rekumabvazuva.

45 Akati kwandiri: “Imba iyi yekudyira yakatarisa kumaodzanyemba ndeyevapristi vanoita mabasa emutemberi.+ 46 Imba yekudyira yakatarisa kuchamhembe ndeyevapristi vanoita basa repaatari.+ Ivo vanakomana vaZadhoki+ uye vaRevhi. Ndivo vakapiwa basa rekuenda pamberi paJehovha kuti vamushumire.”+

47 Akabva ayera chivanze chemukati. Chakanga chakareba makubhiti 100, chakafara makubhiti 100; mativi acho ese akanga akaenzana. Atari yaiva pamberi petemberi yacho.

48 Akabva andipinza muvharanda retemberi yacho,+ akayera madziro emumativi mesuo revharanda racho. Chidziro chekuruboshwe chaiva neupamhi hwemakubhiti mashanu, chiine makubhiti matatu kune rimwe divi uye ndizvo zvakanga zvakaitawo chidziro chekurudyi.

49 Vharanda racho rakanga rakafara makubhiti 20, richipinda mukati nemakubhiti 11.* Kuti munhu asvike pariri, aifanira kukwira nemasitepisi. Paiva nembiru mbiri dzaiva pedyo nemadziro emumativi mesuo. Imwe yaiva kuruboshwe imwe iri kurudyi.+

41 Akabva andipinza muimba yekunze yenzvimbo tsvene,* akayera madziro emumativi mesuo rayo; chidziro chekuruboshwe chaiva neupamhi hwemakubhiti* 6 uye ndizvo zvakanga zvakaitawo chekurudyi. 2 Suo racho rakanga rakafara makubhiti 10, uye rimwe divi rechidziro chimwe nechimwe raiva nemakubhiti 5. Akayera imba yacho, rimwe divi rayo rikaita makubhiti 40, rimwe racho rikaita makubhiti 20.

3 Akabva apinda mukati* akayera madziro aiva mumativi mesuo, uye chidziro chimwe nechimwe chaiva neupamhi hwemakubhiti maviri, chiine makubhiti 7 kune rimwe divi, uye suo racho rakanga rakafara makubhiti 6. 4 Akayera imba yaiva yakaganhurana neimba yekunze yenzvimbo tsvene, uye yainge yakafara makubhiti 20, rimwe divi rayo rakafarawo makubhiti 20.+ Akabva ati kwandiri: “Iyi ndiyo Nzvimbo Tsvenetsvene.”+

5 Akayera madziro etemberi yacho, uye aiva neupamhi hwemakubhiti 6. Mikoto yakakamurwa-kamurwa kuita dzimba, iyo yaiva yakapoteredza temberi yacho, yaiva yakafara makubhiti 4.+ 6 Mikoto yacho yainge iri nhurikidzwa nhatu, panhurikidzwa imwe neimwe paine dzimba 30. Madziro ese etemberi yacho akanga akagadzirwa achiiswa pekugadzikira matanda enhurikidzwa dzacho, kuti madziro acho asazoboorwa.+ 7 Kumativi maviri etemberi yacho kwaiva nemumwe mukoto waimonereka,* uchiita uchiwedzera kufara pawaikwidza kunhurikidzwa dzekumusoro.+ Mukoto wacho waiita uchiwedzera kufara kubva pane imwe nhurukidzwa kuenda pane imwe zvekuti munhu paaikwira kubva panhurikidzwa yepasi opfuura neyepakati achienda kune yekumusoro, aiona uchiwedzera kufara.

8 Ndakaona kuti kumativi ese etemberi yacho kwaiva nechikuva chakakwirira. Dzimba dzacho dzemumikoto dzaiva nefaundesheni yainge yakakwirira netsanga yakazara yemakubhiti 6, kunosvika pakona. 9 Madziro ekunze edzimba dzacho dzemumikoto, aiva neupamhi hwemakubhiti 5. Paiva nenzvimbo yakasiyiwa isina chinhu* yaiva kunze kwemadziro edzimba dzacho dzemumikoto, idzo dzaiva dzakabatana netemberi yacho.

10 Pakati petemberi nedzimba dzekudyira+ paiva nenzvimbo yakanga yakafara makubhiti 20 kudivi rimwe nerimwe. 11 Kuchamhembe kwaiva nesuo raipinda mudzimba dzemumikoto, uchibva munzvimbo yakasiyiwa isina chinhu, uye paivawo nerimwe suo rekumaodzanyemba. Nzvimbo yakasiyiwa isina chinhu kumativi ese etemberi yakanga yakafara makubhiti 5.

12 Chivakwa chaiva kumavirira icho chaiva chakatarisana nenzvimbo isina chinhu chakanga chakafara makubhiti 70, chiine makubhiti 90 kune rimwe divi. Madziro echivakwa chacho aiva neupamhi hwemakubhiti 5.

13 Akayera temberi yacho, uye yakanga yakareba makubhiti 100. Nzvimbo isina chinhu, nechivakwa chacho,* nemadziro acho, zvakanga zvakarebawo makubhiti 100. 14 Kumberi kwetemberi yacho kudivi rekumabvazuva, pamwe chete nenzvimbo isina chinhu, kwaiva nemakubhiti 100.

15 Akayera kureba kwechivakwa chainge chakatarisana nenzvimbo isina chinhu kumashure kwetemberi pamwe chete nemikoto yaiva kumativi acho maviri, uye pakaita makubhiti 100.

Akayerawo imba yekunze yenzvimbo tsvene, neimba yemukati,+ nemavharanda echivanze, 16 pamwe chete nezvidimbati,* nemahwindo aiva nemafuremu aienda achiita madiki,+ nemikoto yaiva muzvinhu zvitatu izvozvo. Pedyo nechidimbati pakanga pakarovererwa mapuranga+ kubva pasi kusvika pamahwindo; uye pamahwindo acho pakanga pakavharwa. 17 Akayera pamusoro pesuo, uye mukati metemberi nekunze, nemadziro acho ese. 18 Yaiva nemifananidzo yemakerubhi nemifananidzo yemichindwe yakaita zvekutemererwa.+ Pakati pemakerubhi maviri ega ega paiva nemufananidzo wemuchindwe, uye kerubhi rimwe nerimwe raiva nezviso zviviri. 19 Chiso chemunhu chainge chakatarisa kumuchindwe wekune rimwe divi uye chiso cheshumba* chainge chakatarisa kumuchindwe wekune rimwe divi.+ Zvainge zvakatemererwa saizvozvo mutemberi yacho yese. 20 Pamadziro enzvimbo tsvene, kubva pasi kusvika pamusoro pesuo, painge pakatemererwa makerubhi nemichindwe.

21 Magwatidziro* enzvimbo tsvene aiva akaenzana mativi ese.+ Pamberi penzvimbo tsvene* paiva nechimwe chinhu 22 chaiita seatari yemapuranga+ chakanga chakakwirira nemakubhiti matatu, chakafara makubhiti maviri. Chaiva nemapango epamakona, uye pasi pacho nemativi acho zvakanga zvakagadzirwa nemapuranga. Akabva ati kwandiri: “Iyi ndiyo tafura iri pamberi paJehovha.”+

23 Pasuo reimba yekunze yenzvimbo tsvene paiva nemadhoo maviri,+ uye ndizvo zvainge zvakaitawo imba yemukati. 24 Dhoo rimwe nerimwe raiva nezvipenga zviviri zvaipeteka. 25 Pamadhoo enzvimbo tsvene paiva nemifananidzo yemakerubhi neyemichindwe, yainge yakafanana neyaiva pamadziro acho.+ Pavharanda racho paivawo nechikamu chedenga chemapuranga chaibudikira kunze. 26 Uye paiva nemahwindo aienda achiita madiki+ nemifananidzo yemichindwe kumativi maviri evharanda racho nepadzimba dzemumikoto dzaiva kumativi etemberi nepachikamu chedenga chaibuda kunze.

42 Akabva aenda neni kuchamhembe muchivanze chekunze.+ Uye akandiendesa kumudhadhadha wedzimba dzekudyira waiva pedyo nenzvimbo yakasiyiwa isina chinhu,+ kuchamhembe kwechivakwa chaiva pedyo nedzimba dzacho dzekudyira.+ 2 Mudhadhadha wacho wakanga wakareba makubhiti* 100 kudivi raiva nemusuo wekuchamhembe, uye wakanga wakafara makubhiti 50. 3 Waiva pakati penzvimbo yakawaridzwa matombo yechivanze chekunze nechivanze chemukati, icho chaiva chakafara makubhiti 20.+ Mudhadhadha wacho wakanga uine nhurikidzwa nhatu dzine mavharanda akatarisana. 4 Pakati pedzimba dzacho dzemumativi maviri emudhadhadha wacho, paiva nenzira+ yakafara makubhiti 10, yakareba makubhiti 100,* uye masuo adzo aiva kuchamhembe. 5 Dzimba dzekudyira dzepanhurikidzwa yekumusoro kwechivakwa chacho dzaiva diki pane dzepanhurikidzwa yepasi neyepakati, nekuti dzaitorerwa nzvimbo yakakura nemavharanda acho. 6 Dzakanga dziine nhurikidzwa nhatu, uye kusiyana nezvivanze, idzo dzakanga dzisina mbiru. Ndokusaka uriri hwadzo hwaiva hudiki pane hwenhurikidzwa yepasi neyepakati.

7 Mudhuri wematombo wekunze uyo waiva pedyo nedzimba dzekudyira dzaiva kudivi rechivanze chekunze wainge wakareba makubhiti 50, uye wainge wakatarisana nedzimwe dzimba dzekudyira. 8 Nekuti dzimba dzekudyira dzekudivi rechivanze chekunze dzaiva dzakareba makubhiti 50, asi dziya dzaiva dzakatarisana nenzvimbo tsvene dzaiva makubhiti 100. 9 Kudivi rekumabvazuva, pane paipindwa napo mumudhadhadha wedzimba dzekudyira, uchibva muchivanze chekunze.

10 Kumabvazuva kwaiva nedzimba dzekudyira dzaiva kumudhuri wematombo wechivanze, nechemukati mawo, pedyo nenzvimbo yakasiyiwa isina chinhu uye pedyo nechivakwa.*+ 11 Uye paiva nenzira yaiva pakati padzo yakafanana neyekudzimba dzekudyira dzekuchamhembe.+ Kureba kwadzo, nekufara kwadzo, nepekubuda napo, nemavakirwo adzo, zvakanga zvakangofanana nezvedzimwe dzimba dzekudyira. Masuo adzo 12 akanga akafanana needzimba dzekudyira dzaiva kumaodzanyemba. Paitangira nzira yacho paiva nesuo rekupinda naro, pedyo nemudhuri wematombo waiva kumabvazuva.+

13 Akabva ati kwandiri: “Dzimba dzekudyira dzekuchamhembe nedzekumaodzanyemba dziri pedyo nenzvimbo yakasiyiwa isina chinhu,+ ndidzo dzimba tsvene dzekudyira, dzinodyirwa mipiro mitsvenetsvene nevapristi vanoenda pamberi paJehovha.+ Ndimo mavanoisa mipiro mitsvenetsvene, chibayiro chechivi, nechibayiro chemhosva, nekuti nzvimbo yacho itsvene.+ 14 Kana vapristi vacho vachinge vapinda, havafaniri kubuda munzvimbo tsvene vachienda kuchivanze chekunze vasati vabvisa nguo dzavanoshumira nadzo,+ nekuti itsvene. Vanofanira kupfeka dzimwe nguo vozoenda kunzvimbo dzinobvumirwa veruzhinji.”

15 Paakapedza kuyera nzvimbo yemukati metemberi,* akandibudisa kunze nepagedhi rakatarisa kumabvazuva,+ uye akayera nzvimbo yacho yese.

16 Akayera divi rekumabvazuva netsanga yekuyeresa,* uye rakanga rakareba tsanga 500 kubva paraitangira kusvika paraiperera.

17 Akayera divi rekuchamhembe achishandisa tsanga yekuyeresa, uye rakanga rakareba tsanga 500.

18 Akayera divi rekumaodzanyemba achishandisa tsanga yekuyeresa, uye rakanga rakareba tsanga 500.

19 Akapota kudivi rekumavirira akariyera netsanga yekuyeresa, uye rakanga rakareba tsanga 500.

20 Akayera mativi ayo mana. Yaiva nerusvingo rwaiipoteredza,+ rwakanga rwakareba tsanga 500 uye rwakafara tsanga 500,+ kuti ruparadzanise zvinhu zvitsvene nezvinoshandiswa neveruzhinji.+

43 Akabva andiendesa kugedhi rakatarisa kumabvazuva.+ 2 Ikoko ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva,+ uye inzwi rake raitinhira semvura zhinji iri kuyerera;+ uye kubwinya kwake kwakavheneka panyika.+ 3 Zvandakaona zvakanga zvakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona pandakauya* kuzoparadza guta, uye zvakanga zvakafanana nezviya zvandakaona pedyo nerwizi rwaKebhari.+ Ndakabva ndapfugama, ndikadzikisa musoro wangu.

4 Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwapinda mutemberi* nepagedhi rakatarisa kumabvazuva.+ 5 Uye mweya wakandisimudza, ukandipinza muchivanze chemukati, uye ndakaona kuti temberi yacho yakanga yazara nekubwinya kwaJehovha.+ 6 Ndakabva ndanzwa kuti pane aitaura neni ari mutemberi, uye murume uya akauya akamira pedyo neni.+ 7 Akati kwandiri:

“Mwanakomana wemunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu cheumambo+ nenzvimbo yetsoka dzangu,+ yandichagara pakati pevaIsraeri nekusingaperi.+ Vanhu veIsraeri nemadzimambo avo havazosvibisizve zita rangu dzvene+ neunzenza hwavo hwekunamata uye nezvitunha zvemadzimambo avo. 8 Vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinhu zvinosemesa zvavakaita, pavakaisa chidimbati* chavo pedyo nechangu, uye gwatidziro* rangu pedyo neravo, pakati pangu navo pachingova nechidziro chete.+ Saka ndakavaparadza ndakatsamwa.+ 9 Zvino ngavabvise unzenza hwavo hwekunamata nezvitunha zvemadzimambo avo vazviise kure neni, uye ndichagara pakati pavo nekusingaperi.+

10 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, tsanangurira vanhu veIsraeri zvakaita temberi,+ kuti vanyare nekukanganisa kwavo,+ uye ngavaongorore purani yayo.* 11 Kana vakanyara nezvese zvavakaita, unofanira kuvazivisa zvakaita purani yetemberi yacho, magadzirirwo ayo, nemasuo ayo ekupinda nawo neekubuda nawo.+ Varatidze mapurani ese ekuvakwa kwayo nemirau yayo, mapurani ayo nemitemo yayo, uzvinyore vakatarisa, kuti vanyatsotevedzera purani yayo nemirau yayo.+ 12 Uyu ndiwo mutemo wetemberi yacho. Nharaunda yese yepamusoro pegomo inzvimbo tsvenetsvene.+ Inzwa! Uyu ndiwo mutemo wetemberi yacho.

13 “Uku ndiko kukura kweatari yacho ichiyerwa nemakubhiti+ (kubhiti rimwe nerimwe rainge rakawedzerwa urefu hweupamhi hwechanza).* Chikamu chayo chepasi chakakwirira nekubhiti rimwe chete, uye chakafara nekubhiti rimwe chete kupfuura chepamusoro pacho. Chine mupendero unochitenderera wakafara sipani* imwe chete. Izvi ndizvo zvakaita chikamu chepasi cheatari yacho. 14 Chikamu chayo chechipiri chakakwirira nemakubhiti maviri uye chakafara nekubhiti rimwe chete kupfuura chepamusoro pacho. Chikamu chayo chechitatu chakakwirira nemakubhiti mana, uye chakafara nekubhiti rimwe chete kupfuura chikamu chekupedzisira chepamusoro. 15 Chikamu chekupedzisira chepamusoro, icho choto cheatari, chakakwirira nemakubhiti mana, uye chine nyanga ina dzakatarisa mudenga.+ 16 Choto chacho chine mativi mana akaenzana, chakareba makubhiti 12 uye chakafara makubhiti 12.+ 17 Mativi mana echikamu chayo chihombe akareba makubhiti 14, uye akafara makubhiti 14; mupendero wacho ihafu yekubhiti, uye mativi ese echikamu chayo chepasi akafara kubhiti rimwe chete.

“Masitepisi ayo akatarisa kumabvazuva.”

18 Akabva ati kwandiri, “Mwanakomana wemunhu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Izvi ndizvo zvinofanira kutevedzerwa pachagadzirwa atari, kuti zvibayiro zvinopiswa zvipiwe uye kuti ropa risaswe pairi.’+

19 “‘Unofanira kupa chibayiro chechivi chemukono mudiki wemombe+ kuvapristi vedzinza raRevhi, veimba yaZadhoki,+ avo vanouya pamberi pangu kuti vandishumire,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 20 ‘Unofanira kutora rimwe ropa rayo, woriisa panyanga ina dzeatari, nepamakona mana echikamu chayo chihombe, nepamupendero wakachipoteredza, kuti uichenese pachivi uye kuti ive tsvene.+ 21 Ubve watora mukono mudiki wemombe, icho chibayiro chechivi, kuti upiswe munzvimbo yakasarudzwa patemberi, kunze kwenzvimbo tsvene.+ 22 Pazuva rechipiri unofanira kupa nhongo yakanaka kuti ive chibayiro chechivi; uye vachachenesa atari yacho pachivi sekuichenesa pachivi kwavakaita vachishandisa mukono mudiki wemombe.’

23 “‘Kana wapedza kuichenesa pachivi unofanira kupa mukono mudiki wemombe wakanaka negondohwe rakanaka rinobva paboka remakwai. 24 Unofanira kuzvipa kuna Jehovha, uye vapristi vanofanira kumwaya munyu pazviri+ vozvipa kuna Jehovha sezvibayiro zvinopiswa. 25 Kwemazuva manomwe, uchapa nhongo kuti ive chibayiro chechivi chinopiwa zuva nezuva+ pamwe chete nemukono mudiki wemombe negondohwe; unofanira kupa zvipfuwo zvakanaka. 26 Vachaita mazuva manomwe vachichenesa atari yacho, uye vanofanira kuita kuti ive tsvene, voita kuti ikodzere kushandiswa. 27 Mazuva acho paanopera, vapristi vachapa zvibayiro zvenyu zvinopiswa nezvibayiro zverugare paatari yacho kubva pazuva rechi8+ zvichienda mberi; uye ndichakufarirai,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

44 Akandidzosa nekugedhi rekunze renzvimbo tsvene rakatarisa kumabvazuva,+ uye rakanga rakavharwa.+ 2 Jehovha akabva ati kwandiri: “Gedhi iri richaramba rakavharwa. Harifaniri kuvhurwa, uye hapana munhu achapinda nepariri; nekuti Jehovha Mwari waIsraeri apinda nepariri,+ saka rinofanira kuramba rakavharwa. 3 Asi jinda ndiro richagara ipapo kuti ridye chingwa pamberi paJehovha,+ nekuti ijinda. Richapinda nepavharanda regedhi, uye richabuda nepagedhi racho.”+

4 Akabva andipinza nepagedhi rekuchamhembe akandiendesa pamberi petemberi. Pandakatarisa, ndakaona kuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza temberi yaJehovha.+ Ndakabva ndapfugama, ndikadzikisa musoro wangu.+ 5 Jehovha akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, isa pfungwa dzako pazvinhu izvi, tarisa, unyatsoteerera zvese zvandinokuudza pamusoro pemirau uye mitemo yetemberi yaJehovha. Nyatsocherechedza masuo etemberi ekupinda nawo nemasuo ese ekubuda nawo munzvimbo tsvene.+ 6 Unofanira kuudza imba inopanduka yaIsraeri kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Imi imba yaIsraeri, zvinhu zvinosemesa zvamunoita zvazonyanya. 7 Pamunounza vatorwa vane mwoyo isina kuchecheudzwa uye vane nyama isina kuchecheudzwa munzvimbo yangu tsvene, vanosvibisa temberi yangu. Munouya nechingwa, nemafuta neropa pamberi pangu, asi muchiputsa sungano yangu nemabasa enyu ese anosemesa. 8 Panzvimbo pekuti muite basa renyu rine chekuita nezvinhu zvangu zvitsvene,+ munogadza vamwe vanhu kuti vaite mabasa emunzvimbo yangu tsvene.”’

9 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Hapana mutorwa anogara muIsraeri ane mwoyo usina kuchecheudzwa uye ane nyama isina kuchecheudzwa anofanira kupinda munzvimbo yangu tsvene.”’

10 “‘Kana vari vaRevhi vaya vakatsauka vachienda kure neni+ pakatsauka vaIsraeri vachitevera zvidhori zvavo zvinosemesa,* vachatambura nemhaka yezvakaipa zvavakaita. 11 Vachashumira munzvimbo yangu tsvene vachiona nezvemagedhi etemberi,+ uye vachiita mabasa epatemberi. Vachauraya zvibayiro zvinopiswa nezvimwewo zvibayiro zvinounzwa nevanhu, uye vachamira pamberi pavo vachivashumira. 12 VaIsraeri pavainamata zvidhori zvavo zvinosemesa, ivo vakavashumira vakaita kuti imba yaIsraeri itadze,+ ndokusaka ndakavasimudzira ruoko rwangu ndichipika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘uye vachatambura nezvakaipa zvavakaita. 13 Havazouyi pamberi pangu vachishumira sevapristi uye havazoendi pedyo nezvinhu zvangu zvitsvene uye zvinhu zvangu zvitsvenetsvene, uye vachanyara nezvinhu zvinosemesa zvavakaita. 14 Asi ndichaita kuti vave vatariri vemabasa epatemberi, vachiona nezvekushanda kwayo uye zvinhu zvese zvinofanira kuitwa mairi.’+

15 “‘Kana vari vapristi vedzinza raRevhi, ivo vanakomana vaZadhoki,+ avo vaiita mabasa emunzvimbo yangu tsvene pakatsauka vaIsraeri,+ vachauya pamberi pangu vachindishumira, uye vachamira pamberi pangu kuti vandipe mafuta+ neropa,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 16 ‘Ndivo vachapinda munzvimbo yangu tsvene, uye ndivo vachaenda patafura yangu kuti vandishumire.+ Vachaita mabasa avanofanira kundiitira.+

17 “‘Pavanopinda mumagedhi echivanze chemukati, vanofanira kupfeka nguo dzejira.+ Havafaniri kupfeka zvinhu zvakagadzirwa nemvere dzemakwai pavanoshumira mumagedhi echivanze chemukati kana kuti muchivanze chacho. 18 Vanofanira kupfeka ngowani yejira* mumusoro, uye vanofanira kupfeka zvikabudura zvejira.+ Havafaniri kupfeka zvinhu zvinoita kuti vabude ziya. 19 Vasati vabuda kuchivanze chekunze, iko kuchivanze chekunze kune veruzhinji, vanofanira kubvisa nguo dzavo dzavanenge vachishumira nadzo,+ vodziisa mudzimba tsvene dzekudyira.+ Vanofanira kubva vapfeka dzimwe nguo, kuti varege kuita kuti vanhu vave vatsvene nenguo dzavo. 20 Havafaniri kuveura misoro yavo+ kana kurega bvudzi ravo richireba. Vanofanira kuridimburira. 21 Vapristi havafaniri kunwa waini pavanopinda muchivanze chemukati.+ 22 Havafaniri kuroora chirikadzi kana mukadzi akarambwa;+ asi vanogona kuroora mhandara pavaIsraeri kana kuti chirikadzi yakasiyiwa nemupristi.’+

23 “‘Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu musiyano wechinhu chitsvene nechisiri chitsvene; uye vachavadzidzisa musiyano wechinhu chisina kuchena nechakachena.+ 24 Ndivo vanofanira kutonga nyaya+ uye vanofanira kutonga vachitevedzera mitongo yangu.+ Vanofanira kuchengeta mitemo yangu nemirau yangu ine chekuita nemitambo yangu yese+ uye vanofanira kutsvenesa masabata angu. 25 Havafaniri kusvika pedyo nemunhu akafa, vachizvisvibisa. Asi vanogona havo kuzvisvibisa kana vari baba vavo vafa, kana amai, kana mwanakomana, kana mwanasikana, kana mukoma kana munin’ina, kana hanzvadzi yavo isati yaroorwa.+ 26 Kana mupristi acheneswa, vanofanira kumuverengera mazuva manomwe. 27 Pazuva raanopinda munzvimbo tsvene, muchivanze chemukati, kuti ashumire munzvimbo tsvene, anofanira kuuya nechibayiro chake chechivi,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

28 “‘Kana iri nhaka yavachawana, ini ndini nhaka yavo.+ Hamufaniri kuvapa nhaka muIsraeri nekuti ini ndini nhaka yavo. 29 Ndivo vachadya mupiro wezviyo,+ nechibayiro chechivi, nechibayiro chemhosva,+ uye zvinhu zvese zvakatsaurwa muIsraeri zvichava zvavo.+ 30 Zvibereko zvakanakisisa pane zvinenge zvatanga kuibva nemipiro yese yamunopa zvichava zvevapristi.+ Uye munofanira kupa vapristi upfu husina kutsetseka hwezvirimwa zvenyu zvinotanga kuibva.+ Izvi zvichaita kuti dzimba dzenyu dzikomborerwe.+ 31 Vapristi havafaniri kudya shiri kana mhuka yakafa yega kana yakabvamburwa nezvikara.’+

45 “‘Pamunogova nyika kuti ive nhaka yenyu,+ munofanira kupa Jehovha imwe nzvimbo yemunyika yacho kuti ive mupiro mutsvene kwaari.+ Inofanira kunge yakareba makubhiti* 25 000, yakafara makubhiti 10 000.+ Nzvimbo yacho yese ichava tsvene. 2 Nzvimbo yacho ichava nechimwe chikamu chine mativi mana akaenzana chinenge chiine nzvimbo tsvene. Chichange chakareba makubhiti 500 uye chakafara makubhiti 500+ uye kumativi acho ese kuchava nemakubhiti 50 emafuro.+ 3 Panzvimbo iyi yakayerwa unofanira kuyera nzvimbo yakareba makubhiti 25 000 uye yakafara makubhiti 10 000, uye ndimo muchava netemberi, chinhu chitsvenetsvene. 4 Iyi ichava nzvimbo tsvene yevapristi,+ avo vanoshumira panzvimbo tsvene, vachishumira pamberi paJehovha.+ Ndimo muchava nedzimba dzavo uye muchavawo nenzvimbo tsvene inenge iine temberi.

5 “‘Pachava nenzvimbo yakareba makubhiti 25 000 uye yakafara makubhiti 10 000 yevaRevhi,+ avo vanoshumira patemberi yacho uye vachava nedzimba 20 dzekudyira.+

6 “‘Munofanira kugovera guta racho nzvimbo yakareba makubhiti 25 000 (sezvakangoita mupiro mutsvene) uye yakafara makubhiti 5 000.+ Ichava yeimba yese yaIsraeri.

7 “‘Jinda richava nenzvimbo iri kumativi maviri emupiro mutsvene nenzvimbo yeguta. Ichava pedyo nemupiro mutsvene uye pedyo nenzvimbo yeguta. Ichava kumavirira nekumabvazuva. Kubva kumuganhu wayo wekumavirira kusvika kumuganhu wayo wekumabvazuva, ichange yakareba zvakaenzana nenzvimbo yerimwe remadzinza acho.+ 8 Nzvimbo yacho ndiyo ichava nhaka yaro muIsraeri. Machinda angu haazoitirizve vanhu vangu utsinye,+ uye achapa imba yaIsraeri nyika yacho maererano nemadzinza ayo.’+

9 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvakaipa zvenyu zvazonyanya imi machinda aIsraeri!’

“‘Siyanai nemhirizhonga uye neudzvinyiriri, muite zvakanaka uye zvakarurama.+ Regai kutorera vanhu vangu zvinhu zvavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 10 ‘Munofanira kushandisa zvikero zvakarurama neefa yakarurama* nebhati rakarurama.*+ 11 Panofanira kuva nechinhu chimwe chete chinoshandiswa pakuyera uwandu hunosvika efa uye bhati. Bhati rinofanira kunge rakaenzana nechikamu chimwe chete pazvikamu 10 zvehomeri* uye efa inofanira kunge yakaenzana nechikamu chimwe chete pazvikamu 10 zvehomeri. Homeri ndiyo ichashandiswa pakuyera zvinhu. 12 Shekeri*+ rimwe chete rinofanira kunge rakaenzana nemagera* 20. Kana mukabatanidza mashekeri 20 nemashekeri 25 nemamwe mashekeri 15, achaita mane imwe chete.’*

13 “‘Uyu ndiwo mupiro wamunofanira kupa: chikamu chimwe chete pazvikamu 6 zveefa kubva pahomeri imwe neimwe yegorosi, uye chikamu chimwe chete pazvikamu 6 zveefa kubva pahomeri imwe neimwe yebhari. 14 Mafuta amuchapa anofanira kuyerwa pachishandiswa bhati. Bhati rakaenzana nechikamu chimwe chete pazvikamu 10 zvekori* uye mabhati 10 ihomeri, nekuti mabhati 10 akaenzana nehomeri. 15 Pazvipfuwo zviri muIsraeri, munofanira kupa gwai rimwe chete pamakwai 200 ega ega. Zvipo izvi zvichava mupiro wezviyo,*+ uye zvibayiro zvinopiswa+ nezvibayiro zverugare+ kuti vanhu vayananisirwe,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

16 “‘Vanhu vese vemunyika yacho vachapa mupiro uyu+ kujinda riri muIsraeri. 17 Asi panoitwa mitambo,+ nepakugara kwemwedzi, nepamaSabata,+ nemimwe mitambo yese inofanira kuitwa neimba yaIsraeri,+ jinda racho ndiro richapa zvinhu zvichashandiswa sezvibayiro zvinopiswa,+ uye mupiro wezviyo,+ nemupiro wezvinwiwa. Ndiro richapa zvinhu zvechibayiro chechivi, nemupiro wezviyo, nechibayiro chinopiswa, nechibayiro cherugare, kuti imba yaIsraeri iyananisirwe.’

18 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Mumwedzi wekutanga, pazuva rekutanga remwedzi wacho, unofanira kutora mukono mudiki wemombe wotsvenesa nzvimbo tsvene pachivi.+ 19 Mupristi achatora rimwe ropa rechibayiro chechivi oriisa pagwatidziro* retemberi+ yacho nepamakona mana echikamu chihombe cheatari nepagwatidziro regedhi rechivanze chemukati. 20 Izvozvo ndizvo zvauchaita pazuva rechinomwe remwedzi wacho, kana paine munhu akanganisa asina kuzvironga kana kuti asingazivi;+ uye imi munofanira kuchenesa temberi yacho.+

21 “‘Pazuva rechi14 remwedzi wekutanga, munofanira kuchengeta Paseka.+ Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe.+ 22 Zuva iroro, jinda racho richapa mukono mudiki wemombe kuti uve chibayiro charo chechivi nechevanhu vese vemunyika yacho.+ 23 Kwemazuva manomwe emutambo wacho rinofanira kupa mikono midiki yemombe minomwe yakanaka nemakondohwe manomwe akanaka kuti zvive zvibayiro zvinopiswa kuna Jehovha, uye richazvipa zuva nezuva kwemazuva acho manomwe.+ Rinofanira kupawo mbudzi hono yechibayiro chechivi zuva nezuva. 24 Pamukono wemombe wega wega, nepagondohwe rimwe nerimwe, jinda racho rinofanira kupawo efa yemupiro wezviyo uyewo hini* yemafuta paefa imwe neimwe.

25 “‘Kubva pazuva rechi15 remwedzi wechinomwe, rinofanira kuita mazuva manomwe richipa chibayiro chechivi, nechibayiro chinopiswa, nemupiro wezviyo, nemafuta pamutambo wacho,+ zvakangofanana nezvarakambopa.’”

46 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Gedhi rechivanze chemukati rakatarisa kumabvazuva+ rinofanira kuramba rakavharwa+ kwemazuva 6 ekushanda,+ asi rinofanira kuvhurwa pazuva reSabata uye pazuva rekugara kwemwedzi. 2 Jinda racho richapinda nepavharanda regedhi racho richibva kunze,+ uye richamira pedyo negwatidziro* regedhi racho. Vapristi vachapa chibayiro charo chinopiswa nezvibayiro zvaro zverugare, uye richakotama pachidimbati* chegedhi racho, robva rabuda. Asi gedhi racho harifaniri kuvharwa kusvikira manheru. 3 Vanhu vemunyika yacho vachakotamawo pamberi paJehovha pasuo regedhi iroro, pamaSabata nepakugara kwemwedzi.+

4 “‘Chibayiro chinopiswa chejinda racho charichaunza kuna Jehovha pazuva reSabata chinofanira kuva makwayana makono 6 akanaka negondohwe rakanaka.+ 5 Mupiro wezviyo* uchapiwa nejinda racho uchava efa* pagondohwe, uye pamakwayana makono richapa chero zvarinogona, uyewo hini* yemafuta paefa imwe neimwe.+ 6 Pazuva rekugara kwemwedzi mupiro warichapa unofanira kuva mukono mudiki wemombe wakanaka, uye makwayana makono 6 negondohwe. Zvipfuwo zvacho zvinofanira kunge zvakanaka.+ 7 Mupiro waro wezviyo unofanira kuva efa pamukono wemombe mudiki, neefa pagondohwe, uye pamakwayana makono rinofanira kupa chero zvarinogona. Uye rinofanira kupa hini yemafuta paefa imwe neimwe.

8 “‘Jinda racho parinopinda, rinofanira kupinda nepavharanda regedhi, uye rinofanira kubuda neipapo.+ 9 Vanhu vemunyika yacho pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo,+ vaya vanopinda negedhi rekuchamhembe+ vachiuya kuzonamata vanofanira kubuda negedhi rekumaodzanyemba,+ uye vaya vanopinda negedhi rekumaodzanyemba vanofanira kubuda negedhi rekuchamhembe. Hapana anofanira kudzokera nekugedhi raapinda naro, nekuti vanofanira kubuda nepagedhi rakatarisana neravapinda naro. 10 Jinda riri munyika yavo rinofanira kupindawo pavanopinda, uye rinofanira kubudawo pavanobuda. 11 Pamitambo nepamwaka yemitambo, mupiro waro wezviyo unofanira kuva efa pamukono wemombe mudiki, efa pagondohwe, uye pamakwayana makono rinofanira kupa chero zvarinokwanisa, pamwe chete nehini yemafuta paefa imwe neimwe.+

12 “‘Kana jinda racho rikaunza chibayiro chinopiswa+ kana zvibayiro zverugare kuti zvive mipiro yekungopawo Jehovha richizvidira, richavhurirwa gedhi rakatarisa kumabvazuva, uye richapinda nechibayiro charo chinopiswa, nezvibayiro zvaro zverugare sezvarinoita pazuva reSabata.+ Kana jinda racho rabuda, gedhi racho rinofanira kuvharwa.+

13 “‘Zuva nezuva unofanira kuuya negwayana gono risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chinopiswa kuna Jehovha.+ Unofanira kuita izvi mangwanani ega ega. 14 Paunopa gwayana racho mangwanani ega ega, unofanirawo kupa chikamu chimwe chete pazvikamu 6 zveefa kuti chive mupiro wezviyo, pamwe chete nechikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvehini yemafuta chekusasa pafurawa yakatsetseka kuti uve mupiro wezviyo unogara uchipiwa kuna Jehovha. Murau uyu uchagara uripo. 15 Mangwanani ega ega, vanofanira kupa gwayana gono nemupiro wezviyo nemafuta kuti zvive chibayiro chinopiswa chinogara chichipiwa.’

16 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Kana jinda rikapa mwanakomana waro mumwe nemumwe chipo kuti chive nhaka yake, ichava pfuma yavo. Ndiyo nhaka yavo. 17 Asi kana rikapa mumwe wevashandi varo chipo chinobva panhaka yaro, chichava chake kusvika gore rekusunungurwa rasvika;+ uye chichabva chadzorerwa kujinda racho. Vanakomana varo chete ndivo vacharamba vaine nhaka yavo. 18 Jinda harifaniri kutorera vanhu nhaka richivamanikidza kubva munzvimbo dzavo. Rinofanira kupa vanakomana varo nhaka richitora panzvimbo yaro, kuti pasava nemunhu wangu anobviswa panzvimbo yake.’”

19 Akabva andipinza nepanzvimbo yaiva pedyo negedhi,+ yekupinda nayo uchienda kudzimba tsvene dzevapristi dzekudyira, dzakanga dzakatarisa kuchamhembe,+ uye ndakaona nzvimbo yaiva kuseri, nechekumavirira. 20 Akati kwandiri: “Iyi ndiyo nzvimbo ichashandiswa nevapristi kubikira chibayiro chemhosva nechibayiro chechivi, uye yavachabikira mupiro wezviyo,+ kuti pasava nechavanotakura vachibuda nacho kuchivanze chekunze, chingazoita kuti vanhu vave vatsvene.”+

21 Akaenda neni kuchivanze chekunze, akapfuura neni nepamakona mana echivanze chacho, uye ndakaona chivanze pakona imwe neimwe yechivanze chekunze. 22 Pamakona mana echivanze chacho paiva nezvivanze zvidiki zvakanga zvakareba makubhiti* 40, zvakafara makubhiti 30. Zvese zviri zvina zvakanga zvakaenzana.* 23 Mukati mazvo maiva nemadziro madiki kumativi ese, uye muzasi memadziro acho makanga makavakwa zvoto zvekubikira mipiro. 24 Akabva ati kwandiri: “Idzi ndidzo dzimba dzinoshandiswa nevashumiri vepatemberi pakubika zvibayiro zvinounzwa nevanhu.”+

47 Akabva andidzosa kusuo retemberi,+ uye ikoko ndakaona mvura yaiyerera ichienda kumabvazuva, ichibva pasi pechidimbati* chetemberi,+ nekuti temberi yacho yakanga yakatarisa kumabvazuva. Mvura yacho yaiyerera ichibva pasi petemberi, kudivi rayo rekurudyi, kumaodzanyemba kweatari.

2 Akabva andibudisa kunze nekugedhi rekuchamhembe,+ akapota neni kuseri, achindiendesa kugedhi rekunze rakatarisa kumabvazuva,+ uye ndakaona mvura yaiyerera ichibva kudivi rekurudyi.

3 Murume wacho paakaenda kumabvazuva aine tambo yekuyeresa,+ akayera makubhiti* 1 000, akaita kuti ndiyambuke nemumvura yacho; uye mvura yacho yaisvika muzviziso zvemakumbo.

4 Akayera mamwe makubhiti 1 000, akaita kuti ndiyambuke nemumvura yacho, uye yaisvika mumabvi.

Akayerazve mamwe makubhiti 1 000, akaita kuti ndiyambuke nemumvura yacho, uye yaisvika muchiuno.

5 Paakayerazve mamwe makubhiti 1 000, rwakanga rwava rukova rwandainge ndisingagoni kuyambuka netsoka, nekuti mvura yacho yakanga yawanda zvekuti yaitoda kuti munhu aite zvekushambira; rwakanga rwatova rukova rusingayambukiki uchifamba.

6 Akandibvunza kuti: “Wazviona here izvi mwanakomana wemunhu?”

Akabva aita kuti ndifambe ndichidzokera kumahombekombe erukova rwacho. 7 Pandakadzokera, ndakaona kuti kumativi maviri erukova rwacho kwaiva nemiti yakawanda chaizvo.+ 8 Akabva ati kwandiri: “Mvura iyi iri kuenda kunzvimbo iri kumabvazuva uye iri kupfuurira ichienda kuArabha,*+ ichinopinda mugungwa. Paichapinda mugungwa,+ mvura yemo ichanatswa. 9 Zvisikwa zvipenyu zvakawanda zvichararama kwese kuchasvika mvura yacho.* Pachava nehove dzakawanda, nekuti mvura iyi ichayerera ichisvika ikoko. Mvura yemugungwa ichanatswa, uye zvinhu zvese zviri kunosvika rukova rwacho zvichararama.

10 “Vabati vehove vachamira mumativi arwo, kubva kuEni-gedhi+ kusvika kuEni-egraimu, uye kuchava nenzvimbo yekuomesera mambure ekukukudzisa. Pachava nehove dzakawanda dzemarudzi akasiyana-siyana, dzakaita sedzemuGungwa Guru.*+

11 “Richava nenzvimbo dzine machakwi nenzvimbo dzine matope, uye dzichangoramba dzakadaro. Dzichangoramba dziine munyu.+

12 “Mumativi erukova rwacho muchamera miti yemichero yemarudzi ese. Mashizha ayo haazosvavi; uye haizomiri kubereka. Ichabereka mwedzi wega wega, nekuti mvura inoidiridza inobva munzvimbo tsvene.+ Michero yayo ichadyiwa uye mashizha ayo acharapa vanhu.”+

13 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Nzvimbo iyi ndiyo ichava nhaka yamuchapa madzinza 12 aIsraeri, uye Josefa achapiwa nharaunda mbiri munzvimbo yacho.+ 14 Ichava nhaka yenyu uye muchapiwa nharaunda dzakaenzana. Ndakapika kuti ndichapa madzitateguru enyu nyika iyi,+ uye iye zvino maipiwa kuti ive nhaka yenyu.

15 “Uyu ndiwo muganhu wenyika yacho kudivi rekuchamhembe: Unobvira kuGungwa Guru pedyo nenzira inoenda kuHetroni,+ woenda kuZedhadhi,+ 16 Hamati,+ Bherota,+ neSibraimu, iri pakati peDhamasiko neHamati, uchienda kuHazeri-hatikoni, iri pamuganhu weHaurani.+ 17 Saka muganhu wacho uchatangira kugungwa uchinosvika kuHazari-enoni,+ uchitevedza muganhu weDhamasiko kuchamhembe, uye muganhu weHamati.+ Uyu ndiwo muganhu wekuchamhembe.

18 “Pakati peHaurani neDhamasiko ndipo pane divi rekumabvazuva, uye rinotevedza Jodhani, pakati peGiriyedhi+ nenyika yeIsraeri. Munofanira kuyera kubva kumuganhu wacho kusvika kugungwa rekumabvazuva.* Uyu ndiwo muganhu wekumabvazuva.

19 “Muganhu wekumaodzanyemba uchatangira kuTamari uchinosvika kumvura yeMeribhati-kadheshi,+ wobva waenda kuRwizi* uye kuGungwa Guru.+ Uyu ndiwo muganhu wekumaodzanyemba.

20 “Gungwa Guru ndiro muganhu wekumavirira, kubva panoperera muganhu wekumaodzanyemba kusvika panzvimbo yakatarisana neRebhohamati.*+ Uyu ndiwo muganhu wekumavirira.”

21 “Munofanira kugova nyika iyi kumadzinza enyu 12 aIsraeri. 22 Munofanira kuigovana kuti ive nhaka yenyu neyevatorwa vamunogara navo, avo vava nevana vavowo pakati penyu; vachangoita sevanhu veIsraeri. Pachapiwa madzinza enyu aIsraeri nhaka, ivo vachapiwawo. 23 Munofanira kupa mutorwa nhaka munharaunda yedzinza raanogara naro,” ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

48 “Aya ndiwo mazita emadzinza acho kubva kumuganhu wekuchamhembe: Mugove waDhani+ unoenda wakatevedzana nenzira inoenda kuHetroni uchisvika kuRebhohamati,*+ uchinosvika kuHazari-enani, uchitevedza muganhu weDhamasiko kuchamhembe, pedyo neHamati;+ uye unobva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 2 Mugove waAsheri+ unoganhurana newaDhani kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 3 Mugove waNaftari+ unoganhurana newaAsheri kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 4 Mugove waManase+ unoganhurana newaNaftari, kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 5 Mugove waEfremu unoganhurana newaManase,+ kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 6 Mugove waRubheni unoganhurana newaEfremu,+ kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 7 Mugove waJudha unoganhurana newaRubheni,+ kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 8 Pamuganhu waJudha, kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira, munofanira kupa mupiro wakafara makubhiti* 25 000+ uye wakareba zvakaenzana nemigove yemamwe madzinza kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. Nzvimbo tsvene ichava pakati pawo.

9 “Mupiro wamunofanira kupa Jehovha unofanira kunge wakareba makubhiti 25 000, wakafara makubhiti 10 000. 10 Iyi ndiyo nzvimbo ichava mupiro mutsvene uchapiwa vapristi.+ Ichange yakafara makubhiti 25 000 kuchamhembe, makubhiti 10 000 kumavirira, makubhiti 10 000 kumabvazuva, uye makubhiti 25 000 kumaodzanyemba. Pakati payo ndipo pachava nenzvimbo tsvene yaJehovha. 11 Ichava yevapristi vatsvene vekuvanakomana vaZadhoki,+ avo vakaita basa rangu uye vasina kutsauka pakatsauka vaIsraeri nevaRevhi.+ 12 Vachava nemugove unoganhurana newevaRevhi munzvimbo yakatsaurwa kuti ive chinhu chitsvenetsvene.

13 “VaRevhi vachava nenharaunda inoganhurana neyevapristi, yakareba makubhiti 25 000, yakafara makubhiti 10 000. (Nharaunda yacho yese ichange yakareba makubhiti 25 000, yakafara makubhiti 10 000.) 14 Hapana chikamu chemugove uyu wakanaka kupfuura yese chavanofanira kutengesa, kana kuchinjanisa nechimwe kana kupa mumwe munhu nekuti nharaunda yacho itsvene kuna Jehovha.

15 “Nzvimbo inenge yasara, iyo inotevedza muganhu wakareba makubhiti 25 000 uye yakafara makubhiti 5 000, ichashandiswa neveruzhinji muguta,+ iine dzimba nemafuro. Pakati payo ndipo pachava neguta.+ 16 Aya ndiwo makuriro akaita guta racho: Muganhu wekuchamhembe une makubhiti 4 500, muganhu wekumaodzanyemba une 4 500, muganhu wekumabvazuva une 4 500, uye muganhu wekumavirira une 4 500. 17 Mafuro eguta racho achava makubhiti 250 kuchamhembe, 250 kumaodzanyemba, 250 kumabvazuva, uye 250 kumavirira.

18 “Nzvimbo ichasara ichange yakareba zvakaenzana nemupiro mutsvene;+ ichange iine makubhiti 10 000 kumabvazuva, uye makubhiti 10 000 kumavirira. Ichange yakareba zvakaenzana nemupiro mutsvene uye zvibereko zvayo zvichadyiwa nevaya vanoshanda muguta racho. 19 Vaya vari kushanda muguta racho vanobva kumadzinza ese aIsraeri ndivo vachairima.+

20 “Mupiro wacho wese une mativi mana akaenzana, rimwe nerimwe riine makubhiti 25 000. Munofanira kupa nzvimbo yacho kuti ive mupiro mutsvene pamwe chete nenzvimbo yeguta racho.

21 “Nzvimbo ichasara kumativi maviri emupiro mutsvene nenzvimbo yeguta racho, ichava mugove wejinda racho.+ Uchange uchitevedza miganhu yakareba makubhiti 25 000 iri kumabvazuva nekumavirira kwemupiro wacho. Mugove wejinda racho uri pakati pemigove yemadzinza maviri. Pakati pawo pachava nemupiro mutsvene nenzvimbo tsvene inenge iine temberi.

22 “Nzvimbo yevaRevhi nenzvimbo yeguta racho zvichava pakati pemugove wejinda. Nharaunda yejinda ichava pakati pemuganhu waJudha+ nemuganhu waBhenjamini.

23 “Kana ari mamwe madzinza asara, mugove waBhenjamini unotangira kumuganhu wekumabvazuva uchinosvika kune wekumavirira.+ 24 Mugove waSimiyoni unoganhurana newaBhenjamini,+ kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 25 Mugove waIsakari+ unoganhurana newaSimiyoni, kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 26 Mugove waZebhuroni unoganhurana newaIsakari,+ kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira.+ 27 Mugove waGadhi unoganhurana newaZebhuroni,+ kubva kudivi rekumabvazuva kusvika kune rekumavirira. 28 Muganhu wekumaodzanyemba uyo uri panoperera mugove waGadhi, uchatangira kuTamari+ uchinosvika kumvura yeMeribhati-kadheshi,+ woenda kuRwizi,*+ wopfuurira kuGungwa Guru.*

29 “Iyi ndiyo nyika yamunofanira kupa madzinza aIsraeri kuti ive nhaka yawo+ uye iyi ndiyo ichava migove yawo,”+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.

30 “Idzi ndidzo dzichava nzvimbo dzekubuda nadzo muguta racho: Divi rekuchamhembe richange riine makubhiti 4 500.+

31 “Magedhi eguta racho achatumidzwa mazita emadzinza aIsraeri. Pamagedhi matatu ari kuchamhembe, rimwe nderaRubheni, rimwe nderaJudha, uye rimwe racho nderaRevhi.

32 “Divi rekumabvazuva richange rakareba makubhiti 4500, uye richava nemagedhi matatu: rimwe nderaJosefa, rimwe nderaBhenjamini, uye rimwe racho nderaDhani.

33 “Divi rekumaodzanyemba richange riine makubhiti 4 500 uye richava nemagedhi matatu: rimwe nderaSimiyoni, rimwe nderaIsakari, uye rimwe racho nderaZebhuroni.

34 “Divi rekumavirira richange rakareba makubhiti 4 500, riine magedhi matatu: rimwe nderaGadhi, rimwe nderaAsheri uye rimwe racho nderaNaftari.

35 “Kupoterera guta racho rese pane makubhiti 18 000. Uye kubvira pazuva iroro guta racho richange rava kunzi Jehovha Ari Imomo.”*+

Kureva kuti “Mwari Anosimbisa.”

Kana kuti “nemheni.”

Zvichida rimwe vhiri racho rakanga rakaita zvekuchinjika pane rimwe.

ChiHeb., “nemweya wechisikwa chipenyu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “akatambanudzwa akavhurika.”

Apa ndipo panotanga kuwanika mashoko ekuti “Mwanakomana wemunhu” muna Ezekieri ayo anowanika ka93 imomo.

Dzimwe shanduro dzinoti, “kunyange zvazvo vanhu vacho vakaoma musoro uye vakaita sezvinhu zviri kukubaya.”

Kana kuti “pezvinyavada.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “dzekuchema.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “pevanakomana vevanhu vekwako.”

Kana kuti “ndichaita kuti uve nemhosva yeropa rake.”

Kana kuti “ndichaita kuti uve nemhosva yeropa rake.”

ChiHeb., “parwuri,” kureva, rutivi rweruboshwe rwaEzekieri.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magiramu anenge 230. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Marita anenge 0,6. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “ndiri kutyora tumiti twechingwa muJerusarema.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.

ChiHeb., “kumhepo yese.”

Kana kuti “nechirwere.”

ChiHeb., “kumhepo yese.”

ChiHeb., “pandichatyora tumiti twenyu twechingwa.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge rakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Kana kuti “inoda unzenza; inoda upfambi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Chiremba chasvika.” Chiremba chishongo chemumusoro.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Chiremba chasvika.” Chiremba chishongo chemumusoro.

Kureva kuti hapana ane chaachawana, vangava vaya vanotenga zvinhu kana kuti vanotengesa, nekuti vese vachaparadzwa.

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuburikidza nekukanganisa kwake.”

Kureva kuti vachazviitira weti nekutya.

Kureva kuti misoro yavo ichagerwa panguva yekuchema.

Kana kuti “Mweya yavo haizoguti.”

Kureva, sirivha yavo negoridhe ravo.

Kureva, zvinhu zvavo zvegoridhe nesirivha.

Kureva, sirivha yavo negoridhe zvakashandiswa kugadzira zvidhori.

Zvinoratidza sekuti pari kureva imba yemukati yepanzvimbo tsvene yaJehovha.

Kureva, cheni dzenhapwa.

Kana kuti “chifananidzo.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Zvinoratidza sekuti ibazi raishandiswa pakunamata zvidhori.

Kana kuti “mudziyo wekuisira ingi wemunyori.”

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Kureva, kerubhi rimwe nerimwe.

ChiHeb., “ndicho chisikwa chipenyu.”

ChiHeb., “mweya wechisikwa chipenyu.”

ChiHeb., “Ichi ndicho chisikwa chipenyu.”

ChiHeb., “Mukadzi,” kureva guta reJerusarema, umo vaJudha vaifunga kuti vaizodzivirirwa.

Kana kuti “hari yekubikira ine muromo muhombe.”

Kureva, mwoyo unobvuma kutungamirirwa naMwari.

Kureva, kuvaka madziro emukati asina kusimba anodzururwa nevhu jena kuti aonekwe seakasimba.

ChiHeb., “uye iwe chimvuramabwe uchadonha.”

Kureva, tutambo twemashiripiti twaisungwa mumaoko kana mumagokora.

Kana kuti “mweya isingafaniri.”

Kana kuti “arwadziwe.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

ChiHeb., “ndotyora tumiti twayo twechingwa.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.

Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.

ChiHeb., “kunozorodza.”

ChiHeb., “nenyika yeKenani.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndakakutsamwira chaizvo.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

ChiHeb., “kuruboshwe rwako.”

Zvichida pari kureva maguta madiki ainge akapoteredza.

ChiHeb., “kurudyi rwako.”

Kana kuti “wakatsigira.”

ChiHeb., “kunyika yeKenani.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kureva, Nebhukadhinezari.

Akagadzwa ndiZedhekiya.

Kana kuti “Upenyu hwese ndehwangu.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Munhu anotadza ndiye achafa.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Kana kuti “wemuvakidzani wake.”

ChiHeb., “anodeura ropa.”

Kana kuti “Munhu anotadza ndiye achafa.”

ChiHeb., “Zvakaipa zvaakaita hazvizoyeukwi.”

Kana kuti “achaponesa mweya wake.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “rwekushungurudzika pamusoro pemachinda.”

Kana kuti “shumba dzava nezenze.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “nemuzambiringa uri mumunda wako wemizambiringa.”

Kana kuti “kuvaudza mutongo wavo.”

ChiHeb., “ndakasimudzawo ruoko rwangu.”

ChiHeb., “kumbeu.”

Kana kuti “nyika yaishongedza dzimwe dzese.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

ChiHeb., “ziso rangu rakavanzwira.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “dzinoshumira.”

ChiHeb., “muchasema zviso zvenyu.”

Kana kuti “zvirevo.”

ChiHeb., “hudyu dzako dzichidedera.”

Kureva kuti vachazviitira weti nekutya.

ChiHeb., “materafimu ake.”

Kureva, vagari vemuJerusarema.

Kana kuti “korona yacho.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Kana kuti “vanozvidza mubhedha.”

Kureva kuti “Tende Remukadzi Uyu.”

Kureva kuti “Tende Rangu Riri Maari.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Kana kuti “vakaita upombwe naye.”

Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

Kana kuti “neupombwe hwavaiita naye.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

ChiHeb., “ukandirasira shure kwako.”

Kureva, upombwe hwekunamata.

Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Kana kuti “nemapakatwa.”

Kana kuti “nguo isina maoko.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “neshinda pfumbu dzakatsvukuruka.”

Uyu muti wakada kufanana nemuti unonzi musinamoni.

Dzimwe shanduro dzinoti, “wakakudzwa.”

ChiHeb., “Ungano yese.”

Kana kuti “muguva.”

Kubva pano zvichienda mberi, rwizi rwaNire runenge ruchibatanidzawo migero yarwo yaishandiswa pakudiridza.

ChiHeb., “tsanga.”

ChiHeb., “iye akati.”

ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Kureva, Tire.

Kana kuti “ndichapa imba yaIsraeri simba.”

Kana kuti “faundesheni.”

Zvichida pari kureva vaIsraeri vainge vabatana neIjipiti.

ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Kana kuti “veMemfisi.”

Kureva, Tebhesi.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kureva, Herioporisi.

Kana kuti “Ndichawedzera simba ramambo.”

Kureva, pamberi pamambo weBhabhironi.

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “seshumba yava nezenze.”

ChiHeb., “nzizi dzavo.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Zvichida pari kutaura nezvevarwi vaivigwa nemapakatwa avo, vachipiwa ruremekedzo.

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “vatungamiriri vese vekuchamhembe.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “murindi wacho ndiye achava nemhosva yerufu rwacho.”

ChiHeb., “zvichayeukwa.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Kureva, mwoyo unobvuma kutungamirirwa naMwari.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Dzimwe shanduro dzinoti, “semapoka emakwai auya kuzobayirwa muJerusarema.”

Kana kuti “madzira.”

Kana kuti “mweya wekufema.”

ChiHeb., “kumhepo ina.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Kana kuti “Musha wangu uchava.”

Kana kuti “pamusoro.”

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

ChiHeb., “murindi.”

Kana kuti “misha yekumaruwa.”

Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Kana kuti “nevarwi vayo vese vakaita seshumba dzava nezenze.”

Kana kuti “Pakunopera kwemazuva acho.”

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

Dzimwe shanduro dzinoti, “netsvimbo dzine muromo wakapinza.”

Kana kuti “Bani Remapoka Makuru Evanhu vaGogi.”

Kureva kuti, “Mapoka Makuru Evanhu.”

Ichi chirimwa chakabvira makare kare chichirimwa. Tambo dzinobviswa pachiri dzaishandiswa kugadzira machira.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “imba.” Shoko rekuti “temberi” ndiro rakashandiswa muzvitsauko 40-48 panzvimbo perekuti “imba.” Shoko racho rinenge richireva zvivakwa zvese zvepatemberi kana kuti temberi yacho chaiyo.

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mukati.

Zvichida zviri kureva pamusoro pemadziro eimba yevarindi.

Dzimwe shanduro dzinoti, “12.”

ChiHeb., “yetemberi.” Muzvitsauko 41 ne42, mashoko ekuti “nzvimbo tsvene” akashandiswa achireva zvese imba yekunze neimba yemukati yetemberi.

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, imba yemukati yenzvimbo tsvene, kana kuti Nzvimbo Tsvenetsvene.

Zvinoratidza sekuti pari kureva masitepisi aimonereka.

Panofanira kunge pachireva nzvimbo diki yekufamba nayo yaitenderera temberi.

Kureva, chivakwa chekumavirira kwenzvimbo tsvene.

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Kana kuti “cheshumba yava nezenze.”

ChiHeb., “Gwatidziro.” Panofanira kunge pachireva suo rekupinda muimba yekunze yenzvimbo tsvene.

Panofanira kunge pachireva Nzvimbo Tsvenetsvene.

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shanduro yechiGiriki inonzi Septuagint inoti “yakareba makubhiti 100.” Zvinyorwa zvechiHebheru zvinoti: “Nzira ine kubhiti rimwe chete.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, chivakwa chataurwa muvhesi 1.

ChiHeb., “imba yemukati.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Dzimwe shanduro dzinoti, “paakauya.”

ChiHeb., “muimba yacho.”

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

ChiHeb., “ngavayere mavakirwo ayo.”

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Anenge masendimita 22,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “maina rimwe chete.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “Zvese zviri zvina nezvivakwa zvazvo zvepamakona zvakanga zvakaenzana.”

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “kurenje.”

ChiHeb., “hova dzacho mbiri.”

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Kureva, Gungwa Rakafa.

Kureva, Rwizi rweIjipiti.

Kana kuti “nepanopindwa napo muHamati.”

Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”

Apa pari kureva makubhiti marefu. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

 Kureva, Rwizi rweIjipiti.

 Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

 Kana kuti “Jehovha Ari Ipapo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe