RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Mariro 1:1-5:22
  • Mariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mariro
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Mariro

MARIRO

א [Aleph]*

1 Inga guta riya rekuva nevanhu vazhinji ragara pasi riri rega!+

Mukadzi uya wekuva nevanhu vazhinji pakati pemarudzi angoita sechirikadzi!+

Uya wekuva muchindakadzi pakati pematunhu zvaava kuitiswa basa rekumanikidzwa!+

ב [Beth]

 2 Anochema zvinonzwisa tsitsi usiku,+ uye azere nemisodzi pamatama.

Pavadiwa vake vese hapana kana ari kumunyaradza.+

Shamwari dzake dzese dzamurasisa;+ dzava vavengi vake.

ג [Gimel]

 3 Judha atapwa+ achitambudzika uye ari muuranda hwakaomarara.+

Ava kufanira kugara pakati pemarudzi;+ ashaya nzvimbo yekuzororera.

Vatambudzi vake vese vamubata ari pakutambudzika kwake.

ד [Daleth]

 4 Migwagwa inoenda kuZiyoni iri kuchema, nekuti hapana ari kuuya kumutambo.+

Magedhi aro ese aparadzwa;+ vapristi varo vari kugomera.

Mhandara dzaro dziri* kushungurudzika, uye iro riri kunetseka zvakanyanya.

ה [He]

 5 Mhandu dzaro dzava tenzi waro;* vavengi varo havatombonetseki.+

Nekuti Jehovha ariunzira marwadzo nemhaka yekukanganisa kwaro kuzhinji.+

Vana varo vaendeswa kuutapwa nemhandu.+

ו [Waw]

 6 Runako rwese rwabva pamwanasikana weZiyoni.+

Machinda ake akaita senondo hono dzashaya mafuro,

Uye anofamba akarukutika ari pamberi pevanoatevera.

ז [Zayin]

 7 Mumazuva ekutambudzika kwaro nekushaya pekugara, Jerusarema rinoyeuka

Zvinhu zvese zvinokosha zvaraiva nazvo mazuva ekare kare.+

Vanhu varo pavakawira muruoko rwemhandu iro rikashaya mubatsiri,+

Mhandu dzakariona uye dzakaseka* kuti raparara.+

ח [Heth]

 8 Jerusarema ratadza zvikuru.+

Ndokusaka rava chinhu chinosemesa.

Vese vaimborikudza vava kungoritora sechinhu chinosemesa, nekuti vaona kusapfeka kwaro.+

Irowo rinogomera+ uye rinotendeuka richinyara.

ט [Teth]

 9 Kusachena kwaro kuri nechezasi kwenguo yaro.

Harina kumbofunga nezveramangwana raro.+

Kuwa kwaro kwaishamisa; harina anorinyaradza.

Haiwa Jehovha, tarisai kutambudzika kwangu, nekuti muvengi azvikwidziridza.+

י [Yod]

10 Mhandu yaisa ruoko rwayo papfuma yaro yese.+

Nekuti raona marudzi achipinda munzvimbo yaro tsvene,+

Ayo amakati haafaniri kupinda muungano yenyu.

כ [Kaph]

11 Vanhu varo vese vari kugomera; vari kutsvaga zvekudya.+

Vaendesa zvinhu zvavo zvinokosha kuti vawane chekudya, vachingoitira kuti vararame.

Tarisai muone, haiwa Jehovha, kuti ndaita semukadzi* asina zvaanobatsira.

ל [Lamed]

12 Imi mese muri kupfuura nemumugwagwa hamuna basa nazvo here?

Tarisai muone!

Pane marwadzo akaita semarwadzo andakapiwa here,

Ayo Jehovha akaita kuti nditambure nawo pazuva rekutsamwa kwake kukuru?+

מ [Mem]

13 Atumira moto mumapfupa angu+ uchibva kumusoro kuti uaparadze ese.

Atambanudzira tsoka dzangu mambure; andimanikidza kutendeuka.

Aita kuti ndive mukadzi asiyiwa.

Ndiri kurwara zuva rese.

נ [Nun]

14 Zvitadzo zvangu zvasungirirwa pamutsipa wangu sejoko; azvisunganidza achishandisa ruoko rwake.

Zvaiswa pamutsipa wangu uye simba rangu rapera.

Jehovha andiisa muruoko rwevaya vandisingagoni kurwisana navo.+

ס [Samekh]

15 Jehovha akanda parutivi varume vese vane simba achivabvisa pakati pangu.+

Aunganidza vanhu kuti aparadze majaya angu.+

Jehovha atsika-tsika mhandara yeJudha muchisviniro chewaini.+

ע [Ayin]

16 Zvinhu izvi zviri kundichemedza;+ maziso angu ari kuyerera misodzi.

Nekuti munhu wese aikwanisa kundinyaradza kana kundisimbisa* ava kure neni.

Vanakomana vangu havasisina tariro, nekuti muvengi akunda.

פ [Pe]

17 Ziyoni ratambanudza maoko aro;+ harina anorinyaradza.

Jehovha apa murayiro kumhandu dzese dzaJakobho dzakamupoteredza kuti dzimurwise.+

Kwadziri, Jerusarema rava chinhu chinosemesa.+

צ [Tsade]

18 Jehovha akarurama,+ nekuti ndini ndakapandukira mirayiro yake.*+

Teererai imi marudzi ese, uye onai kurwadziwa kwangu.

Mhandara dzangu nemajaya angu vatapwa.+

ק [Qoph]

19 Ndakashevedzera kune vaya vaindida, asi vakandirasisa.+

Vapristi vangu nevakuru vangu vakaperera muguta

Pavaitsvaga zvekudya kuti vararame.+

ר [Resh]

20 Jehovha tarisai, nekuti ndiri kunetseka chaizvo.

Mudumbu mangu hamuna* kugadzikana.

Mwoyo wangu wapinduruka mukati mangu, nekuti ndakapanduka zvisingaiti.+

Kunze kune bakatwa riri kupedza vanhu;+ uye mumba makaita serufu.

ש [Shin]

21 Vanhu vakanzwa kugomera kwangu; hapana ari kundinyaradza.

Vavengi vangu vese vakanzwa nezvedambudziko rangu.

Vari kupembera nemufaro, nekuti makariunza.+

Asi muchaunza zuva ramakazivisa,+ iro zuva ravachaita seni.+

ת [Taw]

22 Zvakaipa zvavo zvese ngazviuye pamberi penyu, uye varangei zvinorwadza,+

Sekundiranga zvinorwadza kwamakaita nemhaka yekukanganisa kwangu kwese.

Nekuti kugomera kwangu kuzhinji, uye mwoyo wangu uri kurwara.

א [Aleph]

2 Inga Jehovha afukidza mwanasikana weZiyoni negore rekutsamwa kwake!

Akanda runako rwaIsraeri panyika achirubvisa kudenga.+

Haana kuyeuka chitsiko chetsoka dzake+ pazuva rekutsamwa kwake.

ב [Beth]

 2 Jehovha amedza nzvimbo dzese dzekugara dzaJakobho asina tsitsi.

Aparadza nhare* dzemwanasikana weJudha akashatirwa kwazvo.+

Awondomora uye asvibisa umambo+ nemachinda ahwo.+

ג [Gimel]

 3 Agura simba* rese raIsraeri akatsamwa kwazvo.

Akabvisa ruoko rwake rwerudyi pakauya muvengi,+

Uye akaramba achipfuta pakati paJakobho semoto, akaparadza zvese zvakapoteredza.+

ד [Daleth]

 4 Akombamisa* uta hwake semuvengi; ruoko rwake rwerudyi rwagadzirira semhandu;+

Akaramba achiuraya vaya vese vanoyevedza.+

Uye akadururira kutsamwa kwake mutende remwanasikana weZiyoni semoto.+

ה [He]

 5 Jehovha aita semuvengi;+

Amedza Israeri.

Amedza shongwe dzese dzeZiyoni;

Aparadza nhare dzaro dzese.

Anoita kuti kuchema nekushungurudzika zviwande mumwanasikana weJudha.

ו [Waw]

 6 Anorwisa dumba rake+ sekaimba kari mumunda.

Agumisa* mutambo wake.+

Jehovha aita kuti mutambo nesabata zvikanganwike muZiyoni,

Uye kutsamwa kwake kunotyisa kwaita kuti asaremekedza mambo nemupristi.+

ז [Zayin]

 7 Jehovha arasa atari yake;

Azvidza nzvimbo yake tsvene.+

Aisa masvingo eshongwe dzaro dzakavakwa zvakasimba muruoko rwemuvengi.+

Vakwidza manzwi avo vari muimba yaJehovha,+ sepazuva remutambo.

ח [Heth]

 8 Jehovha asarudza kuti achatoparadza rusvingo rwemwanasikana weZiyoni.+

Atambanudza tambo yekuyeresa.+

Haana kudzosa ruoko rwake kuti rurege kuparadza.*

Uye anoita kuti rusvingo nemurwi wekudzivirira nawo zvicheme.

Zvese hazvisisina kusimba.

ט [Teth]

 9 Magedhi aro anyura pasi.+

Aparadza uye apwanya mazariro* aro.

Mambo waro nemachinda aro vari pakati pemarudzi.+

Hapana mutemo;* kunyange vaprofita varo hapana zvavari kuratidzwa naJehovha.+

י [Yod]

10 Vakuru vemwanasikana weZiyoni vagara pasi vakanyarara.+

Vanoisa guruva mumisoro yavo uye vanopfeka masaga.+

Mhandara dzeJerusarema dzakotamisa misoro pasi.

כ [Kaph]

11 Maziso angu aneta nekuchema misodzi.+

Mudumbu mangu hamuna* kugadzikana.

Chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yekuwa kwaita mwanasikana* wevanhu vangu,+

Nemhaka yekuziya kuri kuita vana nevacheche mumisika yeguta.+

ל [Lamed]

12 Vanoramba vachibvunza vanaamai vavo vachiti, “Zvirimwa newaini zviripi?”+

Pavanoziya mumisika yeguta semunhu akuvadzwa,

Pavanenge vava kufa* vari mumaoko avanaamai vavo.

מ [Mem]

13 Chii chandingashandisa sechapupu,

Kana kuti ndingakufananidza nei, haiwa iwe mwanasikana weJerusarema?

Ndingakuenzanisa nei kuti ndikunyaradze, haiwa iwe mhandara yeZiyoni?

Nekuti kuparara kwako kukuru segungwa.+ Ndiani angakuporesa?+

נ [Nun]

14 Zviratidzo zvakaonekwa nevaprofita vako zvaiva zvenhema uye zvakanga zvisina zvazvinobatsira,+

Uye havana kubudisa pachena kukanganisa kwako kuti urege kutapwa,+

Asi vakaramba vachiona zviratidzo zvenhema uye zvinotsausa vachikuudza.+

ס [Samekh]

15 Vese vanopfuura nemugwagwa vanokurovera maoko zvekutsvinya.+

Vanoridza muridzo vachishamisika+ uye vanodzungudzira mwanasikana weJerusarema misoro, vachiti:

“Ndiro here guta riya ravaiti nezvaro, ‘Rizere nerunako, mufaro wenyika yese’?”+

פ [Pe]

16 Vavengi vako vese vakakushamira miromo yavo.

Vanoridza muridzo uye vanorumanisa mazino avo vachiti: “Tamumedza.+

Iri ndiro zuva ratanga takamirira!+ Rasvika, uye tariona!”+

ע [Ayin]

17 Jehovha aita zvaaida;+ azadzisa zvaakataura,+

Zvaakarayira kare kare.+

Aputsa asinganzwi tsitsi.+

Aita kuti muvengi afare nezvaitika kwauri; akwidziridza simba* remhandu dzako.

צ [Tsade]

18 Mwoyo yavo inochema kuna Jehovha, haiwa iwe rusvingo rwemwanasikana weZiyoni.

Misodzi ngaiyerere serukova siku nesikati.

Usazorora, ziso rako* ngarirege kuzorora.

ק [Qoph]

19 Muka! Shevedzera usiku panotanga nguva dzekurinda.

Durura mwoyo wako pamberi pechiso chaJehovha semvura.

Musimudzire maoko ako kuitira upenyu hwevana* vako

Vari kuziya nenzara pamakona ese emigwagwa.+

ר [Resh]

20 Tarisai muone haiwa Jehovha uya wamakarwadzisa chaizvo.

Vakadzi vanofanira kuramba vachidya vana vavo+ vavakabereka, ivo vana vavo vakanyatsosvika* here,

Kana kuti vapristi nevaprofita vanofanira kuurayirwa munzvimbo tsvene yaJehovha here?+

ש [Shin]

21 Mukomana mudiki nemurume akwegura vakati rabada vakafa mumigwagwa.+

Mhandara dzangu nemajaya angu vaurayiwa nebakatwa.+

Makauraya pazuva rekutsamwa kwenyu; makauraya zvisina tsitsi.+

ת [Taw]

22 Munounganidza zvinhu zvinotyisa kubva kumativi ese sekunge kuti izuva remutambo.+

Pazuva rekutsamwa kwaJehovha hapana akapukunyuka kana akapona;+

Muvengi wangu akaparadza vaya vandakabereka* ndikarera.+

א [Aleph]

3 Ndini murume aona kutambudzika nemhaka yeshamhu yekushatirwa kwake kukuru.

 2 Andidzinga akaita kuti ndifambe murima, kwete muchiedza.+

 3 Chokwadi, anoramba achiunza ruoko rwake kuti rundirwise zuva rese.+

ב [Beth]

 4 Asakadza nyama yangu neganda rangu;

Atyora mapfupa angu.

 5 Andikomba; andikomberedza nemuchetura unovava+ uye nekutambudzika.

 6 Andimanikidza kugara munzvimbo dzine rima sevanhu vakafa kare kare.

ג [Gimel]

 7 Andivharira mukati nerusvingo kuti ndirege kutiza;

Andisunga nezvisungo zvemumakumbo zvemhangura zvinorema.+

 8 Uye pandinopererwa ndoshevedzera kuti ndibatsirwe, iye haateereri* munyengetero wangu.+

 9 Avhara makwara angu nematombo akavezwa;

Aita kuti migwagwa yangu imonereke-monereke.+

ד [Daleth]

10 Anondihwandira sebheya kuti andirwise, seshumba yakahwandira.+

11 Andibudisa mumakwara angu uye andibvambura-bvambura;*

Aita kuti ndisare ndisina chinhu.+

12 Akombamisa* uta hwake, uye anondiisa pekuti ndinangwe nemiseve.

ה [He]

13 Abaya itsvo dzangu nemiseve yemuhomwe* yake.

14 Ndava chiseko kumarudzi ese, vanoimba nezvangu zuva rese.

15 Azadza dumbu rangu nezvinovava uye andigutisa nekamuti kanovava.+

ו [Waw]

16 Anotsemura mazino angu nejecha;

Anondigarisa mumadota ndichitya.+

17 Munondishayisa* rugare; ndakanganwa zvinhu zvakanaka.

18 Ndokusaka ndichiti: “Runako rwangu rwaparara, nezviya zvandanga ndichitarisira kuna Jehovha.”

ז [Zayin]

19 Yeukai kutambudzika kwangu nekushaya kwangu pekugara,+ uye yeukai kuti ndiri kudya kamuti kanovava nemuchetura unovava.+

20 Chokwadi muchayeuka* mokotama kuti mundibatsire.+

21 Ndinozviyeuka mumwoyo mangu; ndokusaka ndichamirira.+

ח [Heth]

22 Rudo rusingachinji rwaJehovha ndirwo rwakaita kuti tisapera,+

Nekuti tsitsi dzake hadzimboperi.+

23 Idzo itsva mangwanani ega ega;+ kutendeka kwenyu kukuru.+

24 Ndakati,* “Jehovha ndiye mugove wangu,+ ndokusaka ndichamumirira.”+

ט [Teth]

25 Jehovha akanaka kune uya anotarisira kwaari,+ kumunhu anoramba achimutsvaga.+

26 Zvakanaka kuti munhu amirire ruponeso rwaJehovha+ akanyarara.*+

27 Zvakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.+

י [Yod]

28 Ngaagare ari ega arambe akanyarara, Mwari paanoriisa paari.+

29 Ngaaise muromo wake muguruva chaimo;+ zvichida pachiine tariro.+

30 Ngaape dama rake kumunhu anomurova; ngaatukwe zvakakwana.

כ [Kaph]

31 Nekuti Jehovha haazorambi akatirasa nekusingaperi.+

32 Kunyange zvazvo akaita kuti tishungurudzike, achanzwirawo tsitsi maererano neukuru hwerudo rwake rusingachinji.+

33 Nekuti mwoyo wake haudi kutambudza kana kushungurudza vanakomana vevanhu.+

ל [Lamed]

34 Kupwanya vasungwa vese vepanyika pasi petsoka,+

35 Kutadza kuitira munhu zvakarurama pamberi peWekumusorosoro,+

36 Kudzvinyirira munhu pakutonga nyaya yake,

Jehovha haangosiyi zvinhu zvakadaro.

מ [Mem]

37 Saka ndiani angataura chinhu, oita kuti chiitike Jehovha asina kurayira kuti zvidaro?

38 Mumuromo meWekumusorosoro,

Hamubudi zvinhu zvakanaka nezvakaipa pamwe chete.

39 Munhu mupenyu anganyunyutirei nezvinokonzerwa nechivi chake?+

נ [Nun]

40 Ngationgororei nzira dzedu, tinyatsodzitarisisa,+ uye ngatidzokerei kuna Jehovha.+

41 Ngatisimudzirei mwoyo yedu nemaoko edu kuna Mwari ari kudenga tichiti:+

42 “Takatadza uye takapanduka,+ uye imi hamuna kukanganwira.+

ס [Samekh]

43 Nekutsamwa kwenyu makativharidzira kuti tisauya kwamuri;+

Makatitevera, mukatiuraya zvisina tsitsi.+

44 Makaisa gore kuti parege kuva neanouya kwamuri, kuti munyengetero wedu urege kupfuura.+

45 Munoita kuti tive marara uye zvinhu zvisina basa pakati pemarudzi.”

פ [Pe]

46 Vavengi vedu vese vakatishamira miromo yavo.+

47 Chedu kwangova kutya nematambudziko,+ taparara uye hatisisina chinhu.+

48 Maziso angu ari kuyerera hova dzemvura nemhaka yekuparara kwemwanasikana wevanhu vangu.+

ע [Ayin]

49 Maziso angu ari kuchema zvisina zororo, haasi kumira,+

50 Kusvikira Jehovha atarisa pasi, oona ari kudenga.+

51 Maziso angu aita kuti ndirwadziwe* nekuda kwevanasikana vese veguta rangu.+

צ [Tsade]

52 Vavengi vangu vakandivhima seshiri pasina chikonzero.

53 Vakaita kuti upenyu hwangu hunyarare mugomba; uye vakaramba vachindipotsera matombo.

54 Mvura yakayerera nepamusoro pangu, uye ndakati: “Ndaparara!”

ק [Qoph]

55 Haiwa Jehovha, ndakadana zita renyu ndiri pasi pasi pegomba.+

56 Inzwai inzwi rangu; musavhara nzeve yenyu pakuchemera kwangu kubatsirwa, pakuchemera kuzorodzwa.

57 Makaswedera pedyo pazuva randakakushevedzai. Makati: “Usatya.”

ר [Resh]

58 Makandirwira panyaya yangu,* haiwa Jehovha, makadzikinura upenyu hwangu.+

59 Haiwa Jehovha, makaona zvakaipa zvandakaitirwa; ndirwireiwo.+

60 Makaona kutsiva kwavo kwese, zvese zvavaindirongera.

ש [Sin] kana kuti [Shin]

61 Haiwa Jehovha, makanzwa kushora kwavo, zvese zvavaindirongera,+

62 Miromo yevanondipikisa nekuzevezera kwavo nezvangu zuva rese.

63 Onai zvavari kuita; pavanogara nepavanosimuka vanenge vachingonditsvinyira munziyo dzavo!

ת [Taw]

64 Haiwa Jehovha, muchavatsiva zvinoenderana nemabasa avo.

65 Muchaomesa mwoyo yavo, uye ndiko kuchava kutuka kwenyu.

66 Muchavatevera makatsamwa movaparadza pasi pedenga raJehovha.

א [Aleph]

4 Inga goridhe rinopenya harichapenyi, iro goridhe rakanatswa!+

Inga matombo matsvene+ angoti katakata mumakona ese emigwagwa!+

ב [Beth]

 2 Kana vari vanakomana vanokosha veZiyoni, avo vakayerwa vachienzaniswa negoridhe* rakanatswa,

Vava kungoonekwa semidziyo yevhu,

Basa remaoko emuumbi!

ג [Gimel]

 3 Hunguhwe* chaidzo dzakapa vana vadzo mazamu kuti dzivayamwise,

Asi mwanasikana wevanhu vangu ava neutsinye,+ semhou dziri murenje.+

ד [Daleth]

 4 Rurimi rwemwana anoyamwa rwanamatira mukanwa make nenyota.

Vana vari kukumbira zvekudya,+ asi hapana ari kuvapa.+

ה [He]

 5 Vaya vaimbodya machikichori vangoti rabada nenzara* mumigwagwa.+

Vaya vakarerwa vachipfeka machira matsvuku+ vagumbatira mirwi yemadota.

ו [Waw]

 6 Kurangwa* kwemwanasikana wevanhu vangu kukuru kupfuura kurangwa kweguta reSodhomu+ nemhaka yechivi charo,

Iro rakaparadzwa nguva dikidiki, pasina ruoko rwakaribatsira.+

ז [Zayin]

 7 VaNaziri+ veZiyoni vakanga vakachena kupfuura chando, vakachena kupfuura mukaka.

Vakanga vakatsvuka kupfuura matombo ekorari; vakanga vakaita sematombo esafaya akapenyeswa.

ח [Heth]

 8 Zviso zvavo zvasviba kupfuura chin’ai;*

Havachazivikanwi mumigwagwa.

Ganda ravo raunyanira pamapfupa avo;+ raita sehuni dzakaoma.

ט [Teth]

 9 Vaya vakaurayiwa nebakatwa vari nani pane vaya vakaurayiwa nenzara,+

Avo vanoondoroka, voita sevabayiwa nepfumo nemhaka yekushaya zvekudya muminda.

י [Yod]

10 Vakadzi vane tsitsi vakabika vana vavo nemaoko avo pachavo.+

Vakava zvekudya zvepanguva yekuchema pakuparara kwemwanasikana wevanhu vangu.+

כ [Kaph]

11 Jehovha aratidza kutsamwa kwake;

Adurura kutsamwa kwake kukuru.+

Uye anotungidza moto muZiyoni, uyo unoparadza nheyo dzaro.+

ל [Lamed]

12 Madzimambo epanyika nevagari vese vepanyika havana kutenda

Kuti mhandu nemuvengi vangapinda mumagedhi eJerusarema.+

מ [Mem]

13 Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvevaprofita varo, kukanganisa kwevapristi varo,+

Avo vakadeura ropa revatsvene pakati paro.+

נ [Nun]

14 Vakadzungaira semapofu+ mumigwagwa.

Vakasvibiswa neropa,+

Zvekuti hapana anokwanisa kubata nguo dzavo.

ס [Samekh]

15 “Ibvai! Hamuna kuchena!” vanoshevedzera vachidaro kwavari. “Ibvai! Ibvai! Musatibata!”

Nekuti havasisina misha, uye vari kungodzungaira.

Vanhu vakataura pakati pemarudzi vachiti: “Hazviiti kuti vagare nesu pano.*+

פ [Pe]

16 Chiso chaJehovha chakavaparadzira;+

Haachazombovafariri.

Vanhu havazoremekedzi vapristi,+ havazokudzi vakuru.”+

ע [Ayin]

17 Kunyange iye zvino maziso edu aneta nekutsvaga rubatsiro tichirushaya.+

Takatsvaga tatsvagazve rubatsiro kurudzi rwakatadza kutiponesa.+

צ [Tsade]

18 Vakatironda pese pataitsika+ zvekuti takatadza kufamba mumisika yedu.

Kuguma kwedu kwaswedera pedyo; mazuva edu apera, nekuti kuguma kwedu kwasvika.

ק [Qoph]

19 Vaya vaititevera vaimhanya kupfuura makondo ari mudenga.+

Vakatidzingirira mumakomo; vakatihwandira murenje.

ר [Resh]

20 Muzodziwa waJehovha,+ iwo mweya wekufema wemhino dzedu, abatwa mugomba ravo guru,+

Iye watakati nezvake: “Tichagara mumumvuri wake tiri pakati pemarudzi.”

ש [Sin]

21 Pembera nemufaro, uye fara kwazvo, haiwa iwe mwanasikana weEdhomu,+ sezvaunogara munyika yeUzi.

Asi iwe uchapiwawo kapu yacho+ uye uchadhakwa wozvipfekenura.+

ת [Taw]

22 Haiwa iwe mwanasikana weZiyoni, kurangwa kwawakaitwa nemhaka yekukanganisa kwako kwapera.

Haazokutapizve.+

Asi achafunga nezvekukanganisa kwako, haiwa iwe mwanasikana weEdhomu.

Achafumura zvivi zvako.+

5 Haiwa Jehovha, yeukai zvakatiwira.

Tarisai muone kuzvidzwa kwedu.+

 2 Nhaka yedu yapiwa vanhu vatisingazivi, dzimba dzedu dzapiwa vekune dzimwe nyika.+

 3 Tava nherera dzisina baba; vanaamai vedu vaita sechirikadzi.+

 4 Tinotofanira kubhadhara kuti tinwe mvura yedu,+ uye huni dzedu pachedu tava kutoita zvekudzitenga.

 5 Vaya vari kutidzingirira vava mugotsi medu;

Taneta, asi hatisi kuzorodzwa.+

 6 Tinotambanudzira ruoko rwedu kuIjipiti+ neAsiriya,+ kuti tiwane zvekudya zvakakwana.

 7 Madzitateguru edu ayo akatadza haasisipo, asi ndisu tava kutakura kukanganisa kwavo.

 8 Tava kutongwa nevaranda; hapana anogona kutibvuta paruoko rwavo.

 9 Tinoisa upenyu hwedu* pangozi kuti tiwane zvekudya,+ nemhaka yebakatwa riri murenje.

10 Ganda redu rava kupisa sechoto, nemhaka yekurumwa nenzara.+

11 Vakanyadzisa* madzimai ari muZiyoni, mhandara dziri mumaguta eJudha.+

12 Machinda akaturikwa, akarembedzwa akasungwa ruoko rumwe chete,+ uye vakuru havana kuremekedzwa.+

13 Majaya atakura guyo, uye vakomana vari kudzedzereka vakatakura masvinga ehuni.

14 Vakuru havasisipo pagedhi reguta;+ majaya haasi kuridza nziyo dzawo.+

15 Mwoyo yedu haisisina mufaro; kutamba kwedu kwachinja kukava kuchema.+

16 Korona yawa kubva mumusoro medu. Tine nhamo nekuti takatadza!

17 Izvi zviri kuita kuti mwoyo yedu irwadze,+

Uye nemhaka yezvinhu izvi maziso edu haachanyatsooni,+

18 Nemhaka yekuti Gomo reZiyoni rava dongo;+ makava ava kungofamba mariri.

19 Kana muri imi, haiwa Jehovha, munogara pachigaro chenyu cheumambo nekusingaperi.

Chigaro chenyu chinoramba chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+

20 Nei muchitikanganwa nekusingaperi, muchitisiya kwenguva yakareba kudai?+

21 Haiwa Jehovha, tidzosei kwamuri uye tichabva tangodzoka kwamuri.+

Itai kuti mazuva edu ave matsva seaya ekare.+

22 Asi makatiramba zviri pachena.

Muri kuramba makatitsamwira chaizvo.+

Zvitsauko 1-4 mashoko ekushungurudzika akanyorwa pachitevedzwa kurongwa kwemabhii echiHebheru.

Kana kuti “Vakadzi varo vechidiki vari.”

ChiHeb., “musoro waro.”

Kana kuti “dzakafarira.”

Jerusarema ndiro riri kufananidzwa nemunhu.

Kana kuti “kusimbisa mweya wangu.”

ChiHeb., “muromo wake.”

ChiHeb., “Ura hwangu hahuna.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

ChiHeb., “nyanga.”

ChiHeb., “Atsika.”

Kana kuti “Aparadza.”

ChiHeb., “kumedza.”

Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Kana kuti “murayiro.”

ChiHeb., “Ura hwangu hahuna.”

Uku kudetemba uchitaura chimwe chinhu seuri kureva munhu, zvichida pachiratidza kunzwira tsitsi kana kuti tsiye nyoro.

Kana kuti “mweya wavo paunenge wava kupera.”

ChiHeb., “nyanga.”

ChiHeb., “mwanasikana weziso rako.”

Kana kuti “mweya yevana.”

Kana kuti “izvo zvibereko zvavo zvakanyatsosvika.”

Kana kuti “vandakabereka vaine utano.”

Kana kuti “anodzivisa; anovhara.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “aita kuti ndingoti rabada pasi.”

ChiHeb., “Atsika.”

ChiHeb., “nevanakomana vemuhomwe.”

Kana kuti “Munoshayisa mweya wangu.”

Kana kuti “mweya wenyu uchayeuka.”

Kana kuti “Mweya wangu unoti.”

Kana kuti “nemwoyo murefu.”

Kana kuti “mweya wangu urwadziwe.”

Kana kuti “Makarwira nyaya dzemweya wangu.”

Kana kuti “avo vaikosha segoridhe.”

Iyi imhuka yakada kufanana negava.

ChiHeb., “havasisina chinhu.”

ChiHeb., “Kukanganisa.”

ChiHeb., “ruvara rutema.”

Kana kuti “vagare pano sevatorwa.”

Kana kuti “mweya yedu.”

Kana kuti “Vakabata chibharo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe