RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Isaya 1:1-66:24
  • Isaya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Isaya
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Isaya

ISAYA

1 Zvakaonekwa naIsaya*+ mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema mumazuva aUziya,+ Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya,+ madzimambo eJudha:+

 2 Inzwa, haiwa iwe denga, uye teerera, haiwa iwe nyika,+

Nekuti Jehovha akataura kuti:

“Ndakarera vanakomana ndikavayarutsa,+

Asi ivo vakandipandukira.+

 3 Mukono wemombe unonyatsoziva munhu akautenga,

Uye dhongi rinoziva chidyiro chezvipfuwo chemuridzi waro;

Asi vaIsraeri havandizivi,*+

Vanhu vangu havanzwisisi.”

 4 Rune nhamo rudzi runotadza,+

Vanhu vakaremerwa nekukanganisa,

Chizvarwa chevarume vakaipa, vana vanoita zvakaipa!

Vakasiya Jehovha;+

Havana kuremekedza Mutsvene waIsraeri;

Vakamupira makotsi.

 5 Ndepapi pamwe pamucharohwa zvamuri kuwedzera kupanduka?+

Musoro uri kurwadza,

Uye mwoyo une chirwere.+

 6 Kubva pasi petsoka kusvika mumusoro, hapana pane utano.

Pane maronda, nemakakuzvuka, nemaronda akavhurika,

Hazvina kurapwa* kana kusungwa kana kupfaviswa nemafuta.+

 7 Nyika yenyu yava dongo.

Maguta enyu akapiswa nemoto.

Vanhu vekune imwe nyika vari kuparadza nyika yenyu pamberi penyu chaipo.+

Yaparara senyika yakundwa nevanhu vekune imwe nyika.+

 8 Mwanasikana weZiyoni asiyiwa akaita sedumba riri mumunda wemizambiringa,

Sekaimba kari mumunda wemagaka,

Seguta rakombwa.+

 9 Kudai Jehovha wemauto asina kuita kuti pave nevashoma vedu vanopona,

Tingadai takaita seSodhomu,

Uye tingadai takafanana neGomora.+

10 Inzwai shoko raJehovha, imi vatongi vane udzvinyiriri* veSodhomu.+

Teererai mutemo* waMwari wedu, imi vanhu veGomora.+

11 “Zvibayiro zvenyu zvakawanda zvinondibatsirei?”+ anodaro Jehovha.

“Handichadi zvibayiro zvenyu zvinopiswa zvemakondohwe+ nemafuta emhuka dzakakodzwa,+

Uye handifadzwi neropa+ remikono yenyu midiki yemombe+ nemakwayana nembudzi.+

12 Pamunouya kuzomira pamberi pangu,+

Ndiani akakukumbirai izvi,

Zvekutsika-tsika zvivanze zvangu?+

13 Chiregai kuunzazve mipiro yezviyo isina zvainobatsira.

Rusenzi yenyu inondisemesa.+

Kugara kwemwedzi,+ masabata,+ kuronga magungano,+

Ndaneta negungano renyu dzvene ramunoita asi muchiita zvemashiripiti.+

14 Ndakavenga* mitambo yenyu yekugara kwemwedzi nemimwe mitambo yenyu.

Zvava mutoro kwandiri;

Ndaneta nekuzvitakura.

15 Uye pamunotambanudza zvanza zvenyu,

Ndinokuvanzirai maziso angu.+

Kunyange muchiita minyengetero mizhinji,+

Handisi kuiteerera;+

Maoko enyu azere neropa.+

16 Zvigezei, zvichenesei;+

Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu;

Siyai zvakaipa.+

17 Dzidzai kuita zvakanaka, tsvagai kururama,+

Ruramisai anodzvinyirira,

Rwirai kodzero dzenherera,

Uye miririrai chirikadzi.”+

18 “Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,” anodaro Jehovha.+

“Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri,

Zvichacheneswa sechando;+

Kunyange zvazvo zvakatsvuka semucheka mutsvuku,

Zvichaita semvere dzemakwai.

19 Kana mukava nechido uye mukateerera,

Muchadya zvinhu zvakanaka zvenyika yacho.+

20 Asi kana mukaramba, mopanduka,

Muchaparadzwa nebakatwa,+

Nekuti muromo waJehovha wazvitaura.”

21 Guta riya rakatendeka+ zvarava pfambi!+

Rakanga rizere nevanotevedzera mutemo;+

Kururama kwaimbogara mariri,+

Asi iye zvino mava nemhondi.+

22 Sirivha yako yava marara,+

Uye doro rako* radirwa mvura.

23 Machinda ako akaoma musoro uye ishamwari dzembavha.+

Ese zvawo anoda chiokomuhomwe uye anotoita zvekudzingirira zvipo.+

Havatongi nyaya dzenherera zvakanaka,

Uye nyaya inounzwa nechirikadzi haitombosviki kwavari.+

24 Saka Ishe wechokwadi, iye Jehovha wemauto,

Iye Ane Simba waIsraeri, anoti:

“Zvakwana! Ndichazvibvisira vavengi vangu,

Uye ndichatsiva vavengi vangu.+

25 Ndichakurwisa neruoko rwangu,

Ndichabvisa tsvina* iri pauri sezvinoitwa nesipo,

Uye ndichabvisa zvese zvisina kuchena pauri.+

26 Ndichadzorera vatongi vako sezvazvaiva pakutanga

Uye vanachipangamazano vako sezvazvaiva pakutanga.+

Pashure peizvi uchanzi Guta reKururama, Guta Rakatendeka.+

27 Ziyoni richadzikinurwa nekururama,+

Uye vaya vanodzoka kwariri vachadzikinurwawo nekururama.

28 Vapanduki nevatadzi vachaparadzwa pamwe chete,+

Uye vaya vanosiya Jehovha vachapera.+

29 Nekuti vaya vaida miti mikuru yamaida vachanyara,+

Uye muchashaya pekupinda nemhaka yeminda* yamakasarudza.+

30 Nekuti muchaita semuti mukuru une mashizha ari kusvava,+

Uye semunda usina mvura.

31 Murume ane simba achava shinda,*

Uye basa rake richava kamoto kari kuputika;

Zvese zviri zviviri zvichatsva pamwe chete,

Pasina anozvidzimura.”

2 Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema:+

 2 Mumazuva ekupedzisira,*

Gomo reimba yaJehovha

Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,+

Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,

Uye marudzi ese achadirana achienda kwariri.+

 3 Uye marudzi mazhinji achaenda, oti:

“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha,

Kuimba yaMwari waJakobho.+

Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,

Uye isu tichafamba mumakwara ake.”+

Nekuti mutemo* uchabuda muZiyoni,

Uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.+

 4 Achapa mutongo pakati pemarudzi

Oruramisa* zvinhu pakati pemarudzi mazhinji.

Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo

Nemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.+

Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa,

Uye havazodzidzi kurwa zvakare.+

 5 Haiwa imba yaJakobho, uyai,

Ngatifambei muchiedza chaJehovha.+

 6 Nekuti makasiya vanhu venyu, iyo imba yaJakobho,+

Nekuti vazara nezvinhu zvinobva kuMabvazuva;

Vanoita zvemashiripiti+ sevaFiristiya,

Uye vazere nevana vevanhu vekune dzimwe nyika.

 7 Nyika yavo yakazara nesirivha negoridhe,

Uye pfuma yavo haiperi.

Nyika yavo yakazara nemabhiza,

Uye ngoro dzavo hadziperi.+

 8 Nyika yavo yakazara navanamwari vasina zvavanobatsira.+

Vanokotamira basa remaoko avo,

Zvinhu zvakagadzirwa neminwe yavo.

 9 Saka munhu anozvideredza, odzika pasi,

Uye hazviiti kuti muvaregerere.

10 Pinda mudombo uye hwanda muguruva

Nemhaka yekutyisa kwaJehovha

Uye kubwinya kwake kukuru.+

11 Maziso emunhu anozvikudza achaderedzwa,

Uye vanhu vanodada vachadzikiswa pasi.*

Jehovha chete ndiye achakwidziridzwa zuva iroro.

12 Nekuti izuva raJehovha wemauto.+

Riri kuuya pamunhu wese anozvikudza uye anozvionera pamusoro,

Pamunhu wese pasinei nekuti akakwirira kana kuti akaderera,+

13 Pamisidhari yese yekuRebhanoni mirefu uye yakakwirira

Nepamiti yese yemioku yekuBhashani,

14 Pamakomo ese marefu

Nepazvikomo zvese zvakakwirira,

15 Pashongwe yese yakakwirira neparusvingo rwese rwakasimba,

16 Pangarava dzese dzeTashishi+

Nepazvikepe zvese zvakanaka.

17 Munhu anozvikudza achaderedzwa,

Uye vanhu vanodada vachadzikiswa pasi.*

Jehovha chete ndiye achakwidziridzwa zuva iroro.

18 Vanamwari vasina zvavanobatsira vachanyangarika zvachose.+

19 Vanhu vachapinda mumapako ematombo

Nemumakomba ari pasi,+

Nemhaka yekutyisa kwaJehovha

Uye kubwinya kwake kukuru,+

Panguva yaanosimuka kuti adederese nyika nekutya.

20 Pazuva iroro varume vachatora vanamwari vavo vasina zvavanobatsira vesirivha negoridhe

Avo vavakagadzira kuti vavakotamire

Vovakandira kumidune* nezviremwaremwa,+

21 Kuti vapinde mumakomba ari mumatombo

Uye mumikaha yemabwe,

Nemhaka yekutyisa kwaJehovha

Uye kubwinya kwake kukuru,

Paanosimuka kuti adederese nyika nekutya.

22 Kuti zvikunakirei, regai kuvimba nemunhuwo zvake

Uyo anongovawo mhepo yekufema iri mumhino dzake.*

Nei achifanira kufungwa nezvake?

3 Nekuti Ishe wechokwadi, Jehovha wemauto,

Ari kubvisa muJerusarema nemuJudha rutsigiro rwese uye zvinhu zvavari kuwana,

Chingwa chese nemvura,+

 2 Murume ane simba nemurwi,

Mutongi nemuprofita,+ anofembera uye mukuru,

 3 Mukuru wevanhu 50,+ munhu anokudzwa, uye chipangamazano,

Nyanzvi yemashiripiti nen’anga ine unyanzvi.+

 4 Ndichaita kuti vakomana vave machinda avo,

Uye vanhu vasina kutsiga* vachavatonga.

 5 Vanhu vachadzvinyirirana,

Mumwe nemumwe achidzvinyirira mumwe wake.+

Mukomana acharwisa harahwa,

Uye munhu anotarisirwa pasi achapikisa munhu anoremekedzwa.+

 6 Mumwe nemumwe achabata hama yake mumba mababa vake, oti:

“Une jira rekumonera, saka iva mutungamiriri wedu.

Murwi uyu wezvakaparadzwa ngauve mumaoko ako.”

 7 Asi iye acharamba pazuva iroro, achiti:

“Handizosungi maronda ako;*

Handina zvekudya kana zvipfeko mumba mangu.

Musandigadza kuti ndive mutungamiriri wevanhu.”

 8 Nekuti Jerusarema ragumburwa,

Uye Judha yawa,

Nekuti ivo vanopikisana naJehovha nezvavanoita uye zvavanotaura;

Vanoramba kuteerera pamberi pekubwinya kwake.*+

 9 Zviso zvavo zvinoratidza zvakaipa zvavanoita,

Uye vanotaura chivi chavo pachena seSodhomu;+

Havaedzi kuchivanza.

Vane* nhamo, nekuti vari kuzvipinza mudambudziko!

10 Udzai vakarurama kuti zvichavafambira zvakanaka;

Vachapiwa mubayiro wezvavanoita.*+

11 Munhu akaipa ane nhamo!

Achawirwa nedambudziko,

Nekuti zvakaitwa nemaoko ake ndizvo zvaachaitirwawo!

12 Kana vari vanhu vangu, vanhu vanovashandisa vane utsinye,

Uye vakadzi ndivo vanovatonga.

Imi vanhu vangu, vatungamiriri venyu vari kuita kuti mudzungaire,

Uye vanoita kuti kunoenda nzira dzenyu kusaoneka.+

13 Jehovha ari kuenda panzvimbo yake kuti ape mhosva;

Ari kusimuka kuti ape marudzi mutongo.

14 Jehovha achatonga vakuru nemachinda evanhu vake.

“Makapisa munda wemizambiringa,

Uye zvamakabira varombo zviri mudzimba dzenyu.+

15 Chokwadi mungashinga here kupwanya vanhu vangu

Uye kukuya zviso zvevarombo muvhu?”+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto.

16 Jehovha anoti: “Nekuti vanasikana veZiyoni vanozvikudza,

Vachifamba vakasimudza misoro,*

Vachikwezva varume nemaziso avo, vachifamba vachiita zvekudada,

Vachiti ngwerengwere nezvishongo zvemuzviziso zvetsoka dzavo,

17 Jehovha acharovawo misoro yevanasikana veZiyoni nemhezi,

Uye Jehovha achaita kuti huma dzavo dzisare dziri pachena.+

18 Pazuva iroro Jehovha achabvisa kunaka kwendarira dzavo,*

Machira anosungwa mumusoro uye zvishongo zvakaita semwedzi uchangogara,+

19 Mhete, zvishongo zvemumaoko, nemavhoiri,

20 Zvishongo zvemumusoro, nezvuma zvinopfekwa muzviziso zvemakumbo, nemachira anosungwa nechemumazamu,

Nemidziyo yekuisa zvinonhuhwirira* nemazango,

21 Marin’i epaminwe nemarin’i epamhino,

22 Nguo refu dzemutambo nenguo dzinopfekwa pamusoro pedzimwe, machira ekumonera, netubhegi tudiki,

23 Magirazi ekubata mumaoko+ nenguo dzejira,*

Ngowani* nemavhoiri.

24 Panzvimbo pemafuta ebharisamu+ pachava nemweya unonhuhwa;

Panzvimbo pebhandi, tambo;

Panzvimbo pebvudzi rakagadzirwa zvakanaka, mhanza;+

Panzvimbo penguo yakanaka kwazvo, nguo yemasaga;+

Uye panzvimbo perunako, muchiso.*

25 Vanhu vako vachaparadzwa nebakatwa,

Uye varume vako vane simba vachaparadzwa muhondo.+

26 Masuo aro achachema uye acharwadziwa,+

Uye richagara pasi, risina chinhu.”+

4 Uye vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe chete pazuva iroro,+ vachiti:

“Tichadya zvekudya zvedu zvatinozvitsvagira

Uye tichazvitsvagira tega zvekupfeka;

Iwe chingoita kuti tishevedzwe nezita rako

Kuti tibvise kuzvidzwa kwedu.”*+

2 Pazuva iroro zvinhu zvichaitwa kuti zvitungire naJehovha zvichange zvakanaka chaizvo, zvichiyevedza, uye zvibereko zvenyika zvichava chinhu chinodadisa nerunako kuvaIsraeri vakapukunyuka.+ 3 Munhu wese anosara muZiyoni neanosara muJerusarema achanzi mutsvene, ivo vese vari muJerusarema vakanyorwa kuti vararame.+

4 Jehovha paachageza tsvina yevanasikana veZiyoni,+ uye paachageza kudeura ropa kweJerusarema kubva pakati paro achizviita nesimba rekutonga uye simba rekupisa,*+ 5 Jehovha achaitawo kuti panzvimbo yese yeGomo reZiyoni nepanzvimbo yemagungano aro, pave negore neutsi masikati, nerimi remoto usiku;+ nekuti pamusoro pekubwinya kwese pachava nechinodzivirira. 6 Uye pachava nedumba rekuti pave nemumvuri masikati rinovharidzira kupisa,+ uye rekupotera nekudzivirirwa pamadutu nemvura inonaya.+

5 Regai ndiimbire mudiwa wangu

Rwiyo rune chekuita nemudiwa wangu nemunda wake wemizambiringa.+

Mudiwa wangu aiva nemunda wemizambiringa mujinga mechikomo chakaorera.

 2 Akautimba, akaubvisa matombo.

Akadyara muzambiringa mutsvuku wakanaka kwazvo mauri,

Akavaka shongwe pakati pawo,

Uye akachera chisviniro chewaini mauri.+

Zvadaro, akaramba achitarisira kuti uchabereka mazambiringa,

Asi iwo wakabereka mazambiringa emusango chete.+

 3 “Zvino, imi vagari vemuJerusarema nevarume veJudha,

Ndinokumbira kuti mutonge pakati pangu nemunda wangu wemizambiringa.+

 4 Pachiine here chimwe chandingadai ndakaitira munda wangu wemizambiringa

Chandisati ndatoita?+

Pandaitarisira kuwana mazambiringa,

Nei iwo wakabereka mazambiringa emusango chete?

 5 Zvino chiregai ndikuudzei

Zvandichaitira munda wangu wemizambiringa:

Ndichabvisa ruzhowa rwawo*

Uye iwo uchapiswa.+

Ndichaputsa rusvingo rwawo rwematombo,

Uye iwo uchatsikwa-tsikwa.

 6 Ndichaita kuti usare usina chinhu;+

Hauzochekererwi kana kusakurwa.

Uchavhungwa nemakwenzi eminzwa nemasora,+

Uye ndichaudza makore kuti asatombotumira mvura pauri.+

 7 Nekuti imba yaIsraeri ndiyo munda wemizambiringa waJehovha wemauto;+

Varume veJudha ndivo munda wemiti waaida chaizvo.

Akaramba achitarisira kuti patongwe zvakarurama,+

Asi paitongwa zvisina kururama;

Achitarisira kururama,

Asi paiva nekuchema nemhaka yekutambudzika.”+

 8 Vane nhamo vaya vanobatanidza imba neimwe imba+

Uye vanobatanidza munda nemumwe munda+

Kusvikira pasisina nzvimbo

Uye mava kugara mega panyika!

 9 Jehovha wemauto apika munzeve dzangu

Kuti dzimba zhinji, kunyange dziri huru uye dzakanaka,

Dzichava chinhu chinoita kuti vanhu vatye,

Dzisina anodzigara.+

10 Nekuti maeka gumi* emunda wemizambiringa achabudisa bhati* rimwe chete,

Uye homeri* yembeu ichangobudisa efa* imwe chete.+

11 Vane nhamo vaya vanomukira mangwanani kuti vanwe doro,+

Vanoramba vachingonwa kusvikira kwasviba, kusvikira waini yava kuvapengesa!

12 Pamitambo yavo pane rudimbwa nechiridzwa chine tambo,

Netambureni, nenyere, newaini;

Asi havafungi zvinoitwa naJehovha,

Uye havaoni basa remaoko ake.

13 Saka vanhu vangu vachatapwa

Nemhaka yekushayiwa ruzivo;+

Varume vavo vanokudzwa vachashaya zvekudya,+

Uye vanhu vavo vese vachafa nenyota.

14 Saka Guva* rakawedzera kukura kwaro*

Uye rakashama muromo waro zvisina muganhu;+

Uye kunaka kukuru kweguta racho,* vanhu varo vazhinji vane ruzha, nevaya vanoita mafaro akanyanyisa,

Zvese zvichapinda muGuva racho.

15 Munhu achaninipiswa,

Murume achaderedzwa,

Uye maziso evanozvikudza achaderedzwa.

16 Jehovha wemauto achakwidziridzwa nemutongo wake;*

Mwari wechokwadi, iye Mutsvene,+ acharatidza utsvene hwake kuburikidza nekururama.+

17 Makwayana achafura sekunge ari mumafuro awo;

Vanhu vekune imwe nyika vachadya munzvimbo dzaimbogarwa nemhuka dzakakodzwa.

18 Vane nhamo vaya vanokweva kukanganisa kwavo netambo dzekunyengera,

Uye chivi chavo netambo dzengoro;

19 Vaya vanoti: “Ngaaite basa rake achikurumidza;

Ngaakurumidze kuriita tirione.

Chinangwa* cheMutsvene waIsraeri ngachiitike

Kuti tichizive!”+

20 Vane nhamo vaya vanoti zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka,+

Vaya vanoisa rima panzvimbo pechiedza uye chiedza panzvimbo perima,

Vaya vanoisa zvinovava panzvimbo pezvinotapira uye zvinotapira panzvimbo pezvinovava!

21 Vane nhamo vaya vanozviti vakachenjera

Uye vanozviti vakangwara!+

22 Vane nhamo vaya vane simba pakunwa waini

Nevarume shasha pakuvhenganisa doro,+

23 Vaya vanoti munhu akaipa haana mhosva nekuda kwechiokomuhomwe+

Uye vasingatongeri munhu akarurama zvakanaka!+

24 Saka sekuparadza kunoita rimi remoto mashanga

Uye sekuputana kunoita uswa hwakaoma mumarimi emoto,

Midzi yavo ichaora,

Uye maruva avo achati mwarara seupfu,

Nekuti vakaramba mutemo* waJehovha wemauto

Uye havana kuremekedza shoko reMutsvene waIsraeri.+

25 Ndokusaka Jehovha atsamwira zvikuru vanhu vake,

Uye achatambanudza ruoko rwake kwavari ovarova.+

Makomo achazununguswa,

Uye zvitunha zvavo zvichaita semarara mumigwagwa.+

Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,

Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.

26 Akasimudzira rudzi ruri kure chiratidzo;*+

Akaruridzira muridzo kuti ruuye ruchibva kumigumo yenyika;+

Tarisai muone! vari kuuya vachikurumidza chaizvo.+

27 Pakati pavo hapana akaneta kana ari kugumburwa.

Hapana ari kutsimwaira kana kurara.

Bhandi riri muzviuno zvavo harina kusununguka,

Uyewo tambo dzeshangu dzavo hadzina kudambuka.

28 Miseve yavo yese yakapinza,

Uye uta hwavo hwese hwakakombamiswa.*

Mahwanda emabhiza avo akaita sedombo rakaomarara,

Uye mavhiri avo akaita sedutu.+

29 Kudzvova kwavo kwakaita sekweshumba;

Vanodzvova seshumba dzine simba.*+

Vachaomba vobata mhuka

Voenda nayo pasina anoinunura.

30 Pazuva iroro vachaidzvovera

Sekutinhira kwegungwa.+

Munhu anoramba akatarisa nyika yacho achaona rima rinotambudza;

Kunyangewo chiedza chasviba nemhaka yemakore.+

6 Gore rakafa Mambo Uziya,+ ndakaona Jehovha akagara pachigaro cheumambo chaiva pamusoro uye pakakwirira,+ uye nguo yake, nechekuzasi kwayo yakanga yakazadza temberi. 2 Maserafi akanga akamira kumusoro kwake; rimwe nerimwe riine mapapiro 6. Rimwe nerimwe* rainge rakavhara chiso charo nemaviri, rakavhara tsoka dzaro nemaviri, uye raibhururuka nemaviri.

 3 Uye rimwe rakashevedzera kune rimwe richiti:

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wemauto.+

Nyika yese izere nekubwinya kwake.”

4 Magwatidziro* akazununguswa nekushevedzera kwacho,* uye imba yacho yakazara neutsi.+

 5 Ndakabva ndati: “Ndine nhamo!

Ndangofanana nemunhu afa,*

Nekuti ndiri munhu ane miromo isina kuchena,

Uye ndinogara pakati pevanhu vane miromo isina kuchena;+

Nekuti maziso angu aona Mambo, iye Jehovha wemauto pachake!”

6 Rimwe remaserafi acho rakabva rabhururuka richiuya kwandiri, uye muruoko rwaro maiva nezimbe rinopfuta+ rarakanga rabvisa paatari nembato.*+ 7 Rakagumha muromo wangu rikati:

“Waonaka! Iri ragumha muromo wako.

Mhosva yako yabviswa,

Uye chivi chako chayananisirwa.”

8 Ndakabva ndanzwa inzwi raJehovha richiti: “Ndichatuma ani, uye ndiani achatiendera?”+ Ini ndikati: “Ndiri pano! Nditumei!”+

 9 Iye akapindura achiti: “Enda kuvanhu ava unoti:

‘Muchanzwa manzwazve,

Asi hamuzonzwisisi;

Muchaona maonazve,

Asi hapana kana ruzivo rwamuchawana.’+

10 Ita kuti mwoyo yevanhu ava irege kuteerera,+

Ita kuti nzeve dzavo dzisanzwa,+

Uye nama maziso avo,

Kuti maziso avo arege kuona

Uye nzeve dzavo dzirege kunzwa,

Kuti mwoyo yavo irege kunzwisisa

Uye kuti varege kutendeuka voporeswa.”+

11 Ndakabva ndati: “Kusvikira riini, haiwa Jehovha?” Iye akati:

“Kusvikira maguta aparara kuita matongo, asisina anogara maari

Uye dzimba dzisisina vanhu

Uye nyika yaparara, isisina chinhu;+

12 Kusvikira Jehovha aendesa vanhu kure kure+

Uye kusvikira nzvimbo yakakura yenyika yacho yava dongo.

13 “Asi mairi muchasara chikamu chimwe chete pazvikamu gumi, uye chichapiswa zvakare. Chichaita semuti mukuru uye semuti wemuoku, unoti kana watemwa panosara chigutsa; vana* vatsvene ndivo vachava chigutsa chacho.”

7 Pamazuva aAhazi+ mwanakomana waJotamu mwanakomana waUziya, mambo weJudha, Mambo Rezini weSiriya naPeka+ mwanakomana waRemariya, mambo weIsraeri, vakaenda kunorwa neJerusarema, asi iye haana* kukwanisa kutora guta racho.+ 2 Imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti: “Siriya yabatana naEfremu.”

Saka mwoyo waAhazi nemwoyo yevanhu vake yakatanga kudedera semiti yemusango iri kuzunguzwa nemhepo.

3 Jehovha akabva ati kuna Isaya: “Ndapota, buda unosangana naAhazi, iwe nemwanakomana wako Sheyari-jashubhu*+ panogumira mugero wemvura unobva kudziva rekumusoro+ pedyo nemugwagwa mukuru wekumunda wemugezi wenguo. 4 Unofanira kumuudza kuti, ‘Iva nechokwadi chekuti unoramba wakadzikama. Usatya, uye mwoyo wako ngaurege kunetseka nekuda kwezvitsiga izvi zviviri zvehuni zviri kupfungaira, nekuda kwekutsamwa kukuru kwaRezini neSiriya nemwanakomana waRemariya.+ 5 Nekuti Siriya naEfremu nemwanakomana waRemariya varonga kukuitira zvakaipa, vachiti: 6 “Handei tinorwisa Judha tiibvarure-bvarure,* toikunda,* toitora, uye ngatigadzei mwanakomana waTabheeri kuti ave mambo wayo.”+

7 “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Hazvizobudiriri,

Uyewo hazvizoitiki.

 8 Nekuti musoro weSiriya iDhamasiko,

Uye musoro weDhamasiko ndiRezini.

Uye makore 65 asati apera

Efremu achaparadzwa uye rudzi rwake haruzovipo.+

 9 Musoro waEfremu iSamariya,+

Uye mwanakomana waRemariya ndiye musoro weSamariya.+

Kunze kwekunge muine kutenda kwakasimba,

Umambo hwenyu hahuzosimbi.”’”

10 Jehovha akaenderera mberi nekutaura naAhazi achiti: 11 “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako;+ chingava chakadzika seGuva* kana kuti chakakwirira sedenga.” 12 Asi Ahazi akati: “Handisi kuzokumbira, uyewo handisi kuzoedza Jehovha.”

13 Isaya akabva ati: “Ndapota, teererai, haiwa imi imba yaDhavhidhi. Zvamuri kuita zvekuedza vanhu kusvika vatsamwa zvidiki here? Mava kufanirawo kuedza Mwari kusvika atsamwa here?+ 14 Saka Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Inzwai! Musikana* achava nepamuviri, uye achabereka mwanakomana,+ omutumidza kuti Emanueri.*+ 15 Pachazosvika nguva yaanenge ava kuziva kuramba zvakaipa uye kusarudza zvakanaka, anenge ava kutodya ruomba neuchi. 16 Nekuti mukomana wacho asati ava kugona kuramba zvakaipa uye kusarudza zvinhu zvakanaka, nyika yemadzimambo maviri auri kutya zvikuru ichange yava dongo.+ 17 Jehovha achakuunzira iwe nevanhu vako neimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubvira pazuva riya Efremu paakazvibvisa kuna Judha,+ nekuti Mwari achaunza mambo weAsiriya.+

18 “Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo nhunzi dziri kuhova dziri kure dzaNire yeIjipiti nenyuchi dziri munyika yeAsiriya, 19 uye dzese dzichauya dzomhara mumipata ine mawere,* nepamikaha yematombo, nepanzvimbo dzese dzinonwisirwa zvipfuwo mvura.

20 “Zuva iroro, Jehovha achaveura musoro nemvere dzemumakumbo achishandisa chisvo chinoita zvekubhadharwa chinobva kunharaunda yeRwizi,* iye mambo weAsiriya,+ uye chisvo chacho chichabvisawo ndebvu.

21 “Zuva iroro munhu achachengetedza tsiru pamombe dzake nemakwai maviri zviri zvipenyu. 22 Uye kuwanda kwemukaka kuchaita kuti adye ruomba, nekuti munhu wese anosara munyika yacho achadya ruomba neuchi.

23 “Zuva iroro, kwese kwaimbova nemizambiringa 1 000 inokosha masirivha 1 000, kuchangova nemakwenzi eminzwa nemasora. 24 Varume vachaendako nemiseve neuta, nekuti nyika yese ichava makwenzi eminzwa nemasora. 25 Hauzosviki pedyo nemakomo ese aimbosakurwa nebadza, nemhaka yekutya makwenzi eminzwa nemasora. Achava mafuro emombe nenzvimbo inotsikwa-tsikwa nemakwai.”

8 Jehovha akati kwandiri: “Tora hwendefa guru+ unyore pariri nechinyoreso chinoshandiswa nevakawanda* kuti, ‘Maheri-sharari-hashi-bhazi.’* 2 Rega ndiite kuti ripupurirwe* nezvapupu zvakatendeka, mupristi Uriya+ naZekariya mwanakomana waJebherekiya.”

3 Ndakabva ndarara* nemuprofitakadzi,* uye akava nepamuviri, uye nekufamba kwenguva akasununguka mwanakomana.+ Jehovha akabva ati kwandiri: “Mutumidze kuti Maheri-sharari-hashi-bhazi, 4 nekuti mukomana wacho asati ava kugona kushevedzera kuti, ‘Baba vangu!’ uye ‘Amai vangu!’ pfuma yeDhamasiko nezvichapambwa kuSamariya zvichatakurwa pamberi pamambo weAsiriya.”+

5 Jehovha akataurazve neni achiti:

 6 “Vanhu ava varamba mvura yeShiroa* inoyerera zvinyoronyoro+

Uye vari kupembera nemufaro nekuda kwaRezini uye nekuda kwemwanakomana waRemariya,+

 7 Saka Jehovha achaunza pavari

Mvura zhinji ine simba yeRwizi,*

Iye mambo weAsiriya+ nembiri yake yese.

Achauya semvura inozadza rwizi

Yofashukira kumahombekombe arwo ese,

 8 Opfuura nepakati peJudha.

Achafashamira opfuura, achisvika mumutsipa;+

Mapapiro ake ayo akatambanudzwa achazadza upamhi hwenyika yako,

Haiwa iwe Emanueri!”*+

 9 Kuvadzai, haiwa imi marudzi, asi muchaputswa-putswa.

Teererai, imi mese munobva kunzvimbo dziri kure dzenyika!

Gadzirirai kurwa, asi muchaputswa-putswa!+

Gadzirirai kurwa, asi muchaputswa-putswa!

10 Rongai zano, asi richavhiringidzwa!

Taurai zvamunoda, asi hazvizobudiriri,

Nekuti Mwari anesu!*+

11 Jehovha ataura neni ruoko rwake rune simba ruri pandiri, kuti andiyambire kuti ndirege kufamba nenzira yevanhu ava, achiti:

12 “Kunonzi nevanhu ava kupanduka, imi musakuti kupanduka!

Musatya zvavanotya;

Musazvidedera.

13 Jehovha wemauto ndiye anofanira kuva mutsvene kwamuri,+

Ndiye wamunofanira kutya,

Uye ndiye anofanira kukudederesai.”+

14 Achava senzvimbo tsvene,

Asi achavawo sedombo rekurovera pariri

Uye seibwe rekugumbura+

Kudzimba dzese mbiri dzaIsraeri,

Sechiteyeso nemusungo

Kuvagari vemuJerusarema.

15 Vazhinji vavo vachagumburwa vowa, vokuvara;

Vachateyiwa nemusungo, vobatwa.

16 Peta mashoko akanyorwa ekupupurira;

Nama uvhare mutemo* pakati pevadzidzi vangu!

17 Ndicharamba ndakatarisira kuna Jehovha,*+ uyo ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake,+ uye ndichava netariro maari.

18 Inzwai! Ini nevana vandakapiwa naJehovha+ tiri zviratidzo+ nezvishamiso muIsraeri zvinobva kuna Jehovha wemauto, uyo anogara muGomo reZiyoni.

19 Kana vakati kwamuri: “Bvunzai masvikiro kana kuti vafemberi vanorira uye vanotaurira pasi pasi,” vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Vanofanira kubvunza nezvevapenyu kuvakafa here?+ 20 Pane kudaro, vanofanira kubvunza mutemo nemashoko akanyorwa ekupupurira!

Kana vakasataura zvinoenderana neshoko iri, havana chiedza.*+ 21 Mumwe nemumwe achapfuura nemunyika yacho achinetseka chaizvo uye aine nzara;+ uye nemhaka yekuti ane nzara uye akatsamwa, achatuka mambo wake naMwari wake akatarisa kumusoro. 22 Achabva atarisa pasi, uye achangoona kutambudzika nerima chete, kusviba uye nguva dzakaoma, rima pasina chakajeka.

9 Zvisinei, rima racho harizoiti sezvarakanga rakaita nyika payaiva munhamo, sezvazvaiva kare paizvidzwa nyika yaZebhuroni nenyika yaNaftari.+ Asi nekufamba kwenguva achaita kuti ikudzwe, iyo nzira iri pedyo negungwa, munharaunda yeJodhani, Garireya yemamwe marudzi.

 2 Vanhu vaifamba murima

Vakaona chiedza chikuru.

Kana vari vaya vanogara munyika yerima gobvu,

Vakavhenekerwa nechiedza.+

 3 Makaita kuti rudzi rwacho ruve nevanhu vazhinji;

Makaita kuti rupembere nemufaro.

Vanofara chaizvo pamberi penyu

Sekufara kunoita vanhu panguva yekukohwa,

Sezvinoita vaya vanogovana zvinhu zvinenge zvapambwa vachifara.

 4 Nekuti makatyora-tyora joko ravakanga vakatakura,

Netsvimbo yepamapfudzi avo, mudonzvo weanovashandisa,

Sepazuva raMidhiyani.+

 5 Kana iri shangu yese inofamba ichizunguza nyika

Nenguo yese izere neropa,

Zvichava huni dzekuisa mumoto.

 6 Nekuti taberekerwa mwana,+

Tapiwa mwanakomana;

Uye utongi huchava* papfudzi rake.+

Zita rake richanzi Chipangamazano Anoshamisa,+ Mwari Ane Simba,+ Baba Vasingagumi, Muchinda weRugare.

 7 Utongi hwake huchangoramba huchikura*

Uye kana ruri rugare ruchangoramba ruripo+

Pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake,

Kuti ahusimbise+ uye ahutsigire

Kuburikidza nekutonga zvakanaka+ uye kururama,+

Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.

Jehovha wemauto uyo anoshingaira, achazviita.

 8 Jehovha akatumira shoko kuti ayambire Jakobho,

Uye rasvika kuna Israeri.+

 9 Uye vanhu vese vachariziva,

Iye Efremu nevagari vemuSamariya,

Avo vanotaura vachizvikudza nemwoyo yavo inozvitutumadza vachiti:

10 “Zvidhinha zvakawa,

Asi tichavaka nematombo akavezwa.+

Mitsamvi yakatemwa,

Asi tichaitsiva nemisidhari.”

11 Jehovha achaita kuti mhandu dzaRezini dzimurwise

Uye achaita kuti vavengi vake vawane zvavanoita,

12 Siriya ichibva kumabvazuva uye vaFiristiya kumavirira,*+

Vachadya Israeri nemiromo yakashama.+

Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,

Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.+

13 Nekuti vanhu vacho havana kudzokera kuna iye anovarova;

Havana kutsvaga Jehovha wemauto.+

14 Jehovha achadimbura pana Israeri

Musoro nemuswe, uye nhungirwa nenhokwe* pazuva rimwe chete.+

15 Mukuru neanoremekedzwa kwazvo ndiye musoro,

Uye muprofita ari kurayiridza zvenhema ndiye muswe.+

16 Vaya vari kutungamirira vanhu ava ndivo vari kuvadzungairisa,

Uye vaya vari kutungamirirwa vavhiringidzika.

17 Ndokusaka Jehovha asingazofariri majaya avo,

Uye haazonzwiri tsitsi nherera dzavo nechirikadzi dzavo

Nekuti vese vakatsauka uye vanoita zvakaipa+

Uye miromo yese inotaura zveupenzi.

Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,

Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.+

18 Nekuti uipi huri kupfuta semoto,

Huchiparadza makwenzi eminzwa nemasora.

Huchabatidza moto pamabvokocho esango,

Uye achatsva gore reutsi richipwititika mudenga.

19 Nekuda kwekushatirwa kwaJehovha wemauto

Nyika yatungidzwa moto,

Uye vanhu vachava huni dzekuisa mumoto.

Hapana munhu achanzwira tsitsi kunyange hama yake.

20 Mumwe achacheka kurudyi

Asi acharamba aine nzara;

Uye mumwe achadya kuruboshwe

Asi haazoguti.

Mumwe nemumwe achadya nyama yeruoko rwake,

21 Manase achadya Efremu,

Uye Efremu achadya Manase.

Vacharwisa Judha vari pamwe chete.+

Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,

Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.+

10 Vane nhamo vaya vanogadza mirau yakaipa,+

Vanogara vachinyora mirayiro inodzvinyirira,

 2 Kuti varambe kutonga nyaya inouya nemurombo,

Kuti vadzvinyirire vanhu vangu vakaderera,+

Vachipamba chirikadzi

Uye vachitorera nherera zvinhu zvadzo!+

 3 Muchaitei pazuva rekurangwa,+

Pachauya kuparadzwa kuchibva kure?+

Muchatizira kuna ani kuti mubatsirwe,+

Uye muchasiya kupi pfuma yenyu,*

 4 Changosara chete kuchonjomara pamwe chete nevasungwa

Kana kuti kuva pakati pevakaurayiwa.

Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,

Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.+

 5 “Hoyo muAsiriya,+

Shamhu yekuratidza kutsamwa kwangu,+

Uyo ane tsvimbo yehasha dzangu muruoko rwake!

 6 Ndichamutuma kunorwisa rudzi rwakatsauka,+

Kunorwisa vanhu vakandigumbura chaizvo;

Ndichamuudza kuti apambe uye atore zvinhu zvizhinji

Uye kuti avatsike-tsike sedhaka riri mumigwagwa.+

 7 Asi achange asingadi kuzviita

Uye mwoyo wake hauzorongi kuita izvozvo;

Nekuti mwoyo wake uri kuda kuparadza,

Kuparadza marudzi mazhinji, kwete mashoma.

 8 Nekuti anoti,

‘Machinda angu ese haasi madzimambo here?+

 9 Karino+ haina kungofanana neKakemishi+ here?

Hamati+ haina kufanana neApadhi+ here?

Samariya+ haina kufanana neDhamasiko+ here?

10 Ruoko rwangu rwakatora umambo hwavanamwari vasina zvavanobatsira,

Avo vaiva nemifananidzo yakavezwa inopfuura yeJerusarema neSamariya!+

11 Handizoitiriwo Jerusarema nezvidhori zvaro

Sezvandakaitira Samariya navanamwari vayo vasina zvavanobatsira here?’+

12 “Jehovha paanenge apedza basa rake rese paGomo reZiyoni nemuJerusarema, acharanga* mambo weAsiriya nemhaka yekuzvikudza kwemwoyo wake, nekutarisa kwake kwekudada uye kwekuzvikudza.+ 13 Nekuti iye anoti,

‘Ndichazviita nesimba reruoko rwangu

Uye neuchenjeri hwangu, nekuti ndakachenjera.

Ndichabvisa miganhu yemarudzi+

Uye ndichapamba upfumi hwavo,+

Uye ndichakunda vagari vemo sezvinoita munhu ane simba.+

14 Sezvinoita murume ari kusveerera mudendere,

Ruoko rwangu ruchatora zvinhu zvemarudzi;

Uye sezvinoitwa nemunhu ari kuunganidza mazai akasiyiwa,

Ndichaunganidza nyika yese!

Hapana munhu achabhabhamisa mapapiro ake kana kushama muromo wake kana kurira.’”

15 Demo ringazvikwidziridza pamusoro peanotema naro here?

Saha ringazvikwidziridza pamusoro peanocheka naro here?

Mudonzvo+ ungavheyesa anousimudza here?

Kana kuti tsvimbo ingasimudza akaibata here?

16 Saka Ishe wechokwadi, Jehovha wemauto,

Achawondorotsa vanhu vake vakobvu,+

Uye achabatidza moto unopisa pasi pekukudzwa kwavo.+

17 Chiedza+ chaIsraeri chichava moto,+

Uye Mutsvene wake achava rimi remoto;

Uchapisa woparadza masora ake nemakwenzi ake eminzwa zuva rimwe chete.

18 Achabvisa zvachose* kunaka kwesango rake nekwemunda wake wemichero;

Uye zvichaita semunhu ari kurwara ari kupera muviri.+

19 Mimwe miti yese yemusango rake

Ichava mishoma zvekuti mwana mudiki achakwanisa kunyora uwandu hwayo.

20 Zuva iroro vaya vachasara pavaIsraeri

Nevaya vachapukunyuka veimba yaJakobho

Havazozendamirizve pane akavarova;+

Asi vachazendamira pana Jehovha vakatendeka,

Pana iye Mutsvene waIsraeri.

21 Vashoma chete ndivo vachadzoka,

Vanenge vasara vaJakobho vachadzoka kuna Mwari Ane Simba.+

22 Nekuti kunyange zvazvo vanhu vako, haiwa iwe Israeri,

Vakaita sejecha regungwa,

Vashoma vavo ndivo chete vachadzoka.+

Pasarudzwa kuti vaparadzwe,+

Uye vachafukidzwa nekurangwa.+

23 Chokwadi kuparadza kwakasarudzwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto,

Kuchaitwa munyika yacho yese.+

24 Saka zvanzi naChangamire Ishe, Jehovha wemauto: “Musatya muAsiriya, imi vanhu vangu vagere muZiyoni, uya aimbokurovai neshamhu+ uye aimbokusimudzirai tsvimbo yake sezvaiita Ijipiti.+ 25 Nekuti pasina nguva, hasha dzichapera; kutsamwa kwangu kuchange kwanangana nekuparadzwa kwavo.+ 26 Jehovha wemauto achamusimudzira tyava+ sepaya paakakunda Midhiyani padombo rainzi Orebhu.+ Uye tsvimbo yake ichava pamusoro pegungwa, uye achaisimudza sezvaakaitira Ijipiti.+

27 Zuva iroro mutoro wake uchabva papfudzi rako,+

Uye joko rake richabva pamutsipa wako,+

Uye joko racho richatyorwa+ nemhaka yemafuta.”

28 Iye asvika paAyati;+

Apfuura nemuMigroni;

Asiya zvinhu zvake paMikmashi.+

29 Vayambuka zambuko;

Usiku varara paGebha;+

Rama inodedera, Gibhiya+ yaSauro yatiza.+

30 Shevedzera uye ridza mhere, haiwa iwe mwanasikana weGarimu!

Teerera, haiwa iwe Raisha!

Haiwa iwe unonzwisa tsitsi, Anatoti!+

31 Nzvimbo inonzi Madhimena yatiza.

Vagari vemuGebhimu vatsvaga pekuhwanda.

32 Nhasi chaiye achamira muNobhu.+

Anozunzira gomo remwanasikana weZiyoni chibhakera chake,

Icho chikomo cheJerusarema.

33 Inzwai! Ishe wechokwadi, Jehovha wemauto,

Ari kutema mapazi neruzha rukuru;+

Miti mirefu pane yese iri kutemwa,

Uye yakakwirira iri kudzikiswa pasi.

34 Anotema mabvokocho esango nemudziyo wesimbi,*

Uye Rebhanoni ichawiswa neane simba.

11 Pachigutsa chaJese+ pachabuda nhungirwa,+

Uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.

 2 Mweya waJehovha uchagara paari,+

Mweya weuchenjeri+ uye wekunzwisisa,

Mweya wekupa mazano uye wekuva nesimba,+

Mweya wekuziva uye wekutya Jehovha.

 3 Uye achafarira chaizvo kutya Jehovha.+

Haazotongi nezvaanoona nemaziso ake,

Kana kutsiura nezvaanongonzwa nenzeve dzake.+

 4 Achatonga vakaderera zvakanaka,*

Uye achatsiura nekururama achiitira vanyoro venyika.

Acharova nyika neshamhu yemuromo wake+

Uye achauraya munhu akaipa nemweya wekufema* wemuromo wake.+

 5 Kururama kuchava bhandi remuchiuno chake,

Uye kutendeka bhandi rehudyu dzake.+

 6 Mhumhi ichagara negwayana kwenguva diki,+

Uye mbada icharara pasi nembudzi diki,

Uye mhuru neshumba* nemhuka yakakodzwa zvichava pamwe chete;+

Uye kakomana kachazvitungamirira.

 7 Mhou nebheya zvichafura pamwe chete,

Uye vana vazvo vacharara pasi pamwe chete.

Shumba ichadya uswa semombe.+

 8 Mwana anoyamwa achatamba panogara mhungu,

Uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake panogara nyoka ine uturu.

 9 Hazvizombokuvadzi+

Kana kuparadza pagomo rangu rese dzvene,+

Nekuti chokwadi nyika ichazara nekuziva Jehovha

Sekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.+

10 Pazuva iroro mudzi waJese+ uchamira sechiratidzo* kumarudzi.+

Marudzi achaenda kwaari kuti atungamirirwe,*+

Uye nzvimbo yake yekuzororera ichakudzwa.

11 Pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri, kuti atore vanhu vake vashoma vakasara kuAsiriya,+ kuIjipiti,+ kuPatrosi,+ kuKushi,+ kuEramu,+ kuShinari,* kuHamati, nekuzvitsuwa zvegungwa.+ 12 Achamisira marudzi chiratidzo,* ounganidza vaIsraeri vakapararira,+ uye achaunganidza vaJudha vakapararira achivabvisa kumativi mana enyika.+

13 Godo raEfremu richapera,+

Uye vaya vanovenga Judha vachaparadzwa.

Efremu haazoitiri Judha godo,

Uyewo Judha haazovengi Efremu.+

14 Vachadzika nekukurumidza pamateru* evaFiristiya nechekumavirira;

Vachabatana pakupamba vanhu vekuMabvazuva.

Vachatambanudza ruoko rwavo kuti varwise Edhomu*+ neMoabhi,+

Uye vaAmoni vachava pasi pavo.+

15 Jehovha achaparadzanisa* chikamu chegungwa reIjipiti,+

Uye achafambisa ruoko rwake pamusoro peRwizi.*+

Acharurova muhova dzarwo* nomwe nemweya wake wekufema unopisa,

Uye achaita kuti vanhu vayambuke vakapfeka shangu dzavo.

16 Uye pachava nemugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nekuda kwevashoma vasara pavanhu vake,+

Sewaivapo kuvaIsraeri pazuva ravakabuda munyika yeIjipiti.

12 Pazuva iroro chokwadi uchati:

“Ndinokutendai, haiwa Jehovha,

Nekuti kunyange makanga makanditsamwira,

Kutsamwa kwenyu kwakadzikira zvishoma nezvishoma, uye makandinyaradza.+

 2 Inzwai! Mwari ndiye ruponeso rwangu.+

Ndichavimba naye uye handizotyi;+

Nekuti Jah* Jehovha ndiye simba rangu uye ndiye anondidzivirira,

Uye ava ruponeso rwangu.”+

 3 Muchachera mvura muchifara chaizvo

Pazvitubu zvinopa ruponeso.+

 4 Uye pazuva iroro muchati:

“Ongai Jehovha, danai zita rake,

Zivisai mabasa ake pakati pemarudzi!+

Zivisai kuti zita rake riri pamusorosoro.+

 5 Imbai* muchirumbidza Jehovha,+ nekuti akaita zvinhu zvinoshamisa kwazvo.+

Itai kuti izvi zvizivikanwe munyika yese.

 6 Shevedzera usimudze inzwi uchifara, iwe mugari* wemuZiyoni,

Nekuti Mutsvene waIsraeri uyo ari pakati pako mukuru.”

13 Mutongo pamusoro peBhabhironi+ wakaonekwa muchiratidzo naIsaya+ mwanakomana waAmozi:

 2 “Misai chiratidzo*+ pagomo rine matombo ari pachena.

Shevedzerai kwavari, ninirai ruoko,

Kuti vapinde mumasuo evakuru vakuru.

 3 Ndapa murayiro kune vaya vandagadza.*+

Ndashevedza varwi vangu vane simba kuti varatidze kutsamwa kwangu,

Ivo vanhu vangu vanopembera nemufaro vachizvikudza.

 4 Teererai! Boka guru revanhu riri mumakomo;

Vanonzwika sevanhu vazhinji!

Teererai! Mheremhere yeumambo,

Yemarudzi akaungana!+

Jehovha wemauto ari kuunganidza uto kuti rirwe hondo.+

 5 Vari kubva kunyika iri kure,+

Kunogumira denga,

Iye Jehovha nezvombo zvehasha dzake,

Kuti vaparadze nyika yese.+

 6 Ridzai mhere, nekuti zuva raJehovha rava pedyo!

Richauya sekuparadza kunobva kune Wemasimbaose.+

 7 Ndokusaka maoko ese achashaya simba,

Uye mwoyo wemunhu wese uchapera nekutya.+

 8 Vanhu vavhunduka.+

Vari kugwinha-gwinha vachirwadziwa,

Sezvinoita mukadzi ari kusununguka.

Vanotarisana vachitya,

Zviso zvavo zvichiyuwira nekurwadziwa.

 9 Inzwai! Zuva raJehovha riri kuuya,

Riine utsinye nekushatirwa uye kutsamwa kukuru,

Kuti riite kuti nyika ive chinhu chinotyisa,+

Uye kuti riparadze vatadzi panyika.

10 Nekuti nyeredzi dzedenga nemapoka adzo*+

Hadzizobudisi chiedza chadzo;

Zuva richange rakasviba parinobuda,

Uye mwedzi hauzovheneki.

11 Ndicharanga nyika nemhaka yezvakaipa zvayo,+

Uye vakaipa nemhaka yekukanganisa kwavo.

Ndichagumisa kudada kwevanozvikudza,

Uye ndichaninipisa vadzvinyiriri vanozvitutumadza.+

12 Ndichaita kuti vanhu vave vashoma kupfuura goridhe rakanatswa,+

Uye kuti vanhu vave vashoma kupfuura goridhe rekuOfiri.+

13 Ndokusaka ndichaita kuti denga ridedere,

Uye nyika ichazununguswa ichibva munzvimbo yayo+

Nekuda kwekushatirwa kukuru kwaJehovha wemauto pazuva rekutsamwa kwake kukuru.

14 Semhara iri kuvhimwa uye sezvipfuwo zvisina anozviunganidza,

Mumwe nemumwe achadzokera kuvanhu vake;

Mumwe nemumwe achatizira kunyika yake.+

15 Munhu wese anowanikwa achabayiwa,

Uye munhu wese anobatwa achaurayiwa nebakatwa.+

16 Vana vavo vacharoverwa pasi voitwa zvidimbu zvidimbu ivo vakatarisa.+

Zvinhu zviri mudzimba dzavo zvichapambwa,

Uye madzimai avo achabatwa chibharo.

17 Ndiri kuvamutsira vaMedhiya,+

Avo vanoona sirivha seisiri chinhu

Uye vasingafariri goridhe.

18 Uta hwavo huchaparadza majaya;+

Havazonzwiri tsitsi zvinobva muchibereko

Kana kunzwira vana ngoni.

19 Uye Bhabhironi, umambo hunokudzwa kupfuura humwe hwese,*+

Runako uye chidadiso chevaKadheya,+

Richava semaguta eSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari.+

20 Harizombofi rakagarwa,

Uyewo harizovi nzvimbo yekugara kwezvizvarwa nezvizvarwa.+

Hapana muArabhu achadzika tende rake imomo,

Uye hapana vafudzi vachaita kuti zvipfuwo zvavo zvizorore imomo.

21 Zvisikwa zvemugwenga zvicharara pasi imomo;

Dzimba dzavo dzichazara nemazizi mahombe.

Mhou dzichagara imomo,+

Uye mbudzi dzemusango* dzichasvetuka-svetuka imomo.

22 Zvisikwa zvinoungudza zvichachema zviri mushongwe dzaro,

Nehunguhwe* mumizinda yaro yakanaka chaizvo.

Nguva yaro yava kusvika, uye mazuva aro haazowedzerwi.”+

14 Nekuti Jehovha achanzwira Jakobho+ tsitsi uye achasarudzazve Israeri.+ Achavagarisa* munyika yavo,+ uye vatorwa vachaenda kwavari, vobatana neimba yaJakobho.+ 2 Marudzi achavatora ovaunza kunzvimbo yavo, uye achava mumaoko eimba yaIsraeri kuti ave varandarume nevarandakadzi+ munyika yaJehovha; vanhu vaimbovaita varanda vachava varanda vavo, uye vachava nesimba pane vaya vaivamanikidza kushanda.

3 Pazuva raunozorodzwa naJehovha pakurwadziwa kwako nepakuvhiringidzika kwako uye pauranda hwakaoma hwawakamanikidzwa kuva mahuri,+ 4 uchataura mashoko aya ekushora mambo weBhabhironi:

“Uya aishandisa vamwe asvika pamagumo ake!

Udzvinyiriri hwazopera!+

 5 Jehovha atyora tsvimbo yevakaipa,

Mudonzvo wevatongi,+

 6 Uya airova vanhu akashatirwa achinayisa zvibhakera zvisingaperi,+

Uya aikunda marudzi akatsamwa achiatambudza zvisina mugumo.+

 7 Iye zvino nyika yese yazorora, haisisina chinonetsa.

Vanhu vari kushevedzera nemufaro.+

 8 Kunyange mijunipa iri kufarawo pamusoro pako,

Pamwe chete nemisidhari yekuRebhanoni.

Iri kuti, ‘Kubvira pawakawa,

Hakuna mutemi wemiti ari kuuya kuzotitema.’

 9 Kunyange Guva* riri pasi ranyandurwa

Kuti risangane newe paunouya.

Nemhaka yako, rinomutsa vaya vasina simba vari murufu,

Ivo vatungamiriri* vese vane udzvinyiriri vepanyika.

Rinoita kuti madzimambo ese emarudzi asimuke pazvigaro zvawo.

10 Ese zvawo anotaura achiti kwauri,

‘Newewo hausisina simba sesu here?

Wafanana nesu here?

11 Kudada kwako kwapinzwa muGuva,*

Iko kurira kwezviridzwa zvako zvine tambo.+

Pasi pako pakawaridzwa honye semubhedha,

Uye chekufuga chako ihonye.’

12 Wadonha kubva kudenga,

Haiwa iwe unopenya, mwanakomana wemambakwedza!

Wadamburwa ukawisirwa pasi,

Iwe wekukunda marudzi!+

13 Wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kudenga.+

Ndichakwidza chigaro changu cheumambo pamusoro penyeredzi dzaMwari,+

Uye ndichagara pasi pamusoro pegomo rekusanganira,

Kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe.+

14 Ndichakwira kumusoro, kumusoro kwemakore;

Ndichazvifananidza neWekumusorosoro.’

15 Asi iwe uchadzikiswa kuGuva,*

Pasi pasi pegomba racho.

16 Vaya vanokuona vacharamba vakakutarisa;

Vachanyatsokuongorora, vachiti,

‘Ndiye here murume uya aizunungusa nyika,

Aidederesa madzimambo,+

17 Uya akaita kuti nyika ive serenje

Uye akaparadza maguta ayo,+

Asina kubvumira vasungwa vake kuti vadzokere kumusha?’+

18 Mamwe madzimambo ese emarudzi akarara murukudzo,

Ese zvawo,

Mumwe nemumwe muguva rake.*

19 Asi iwe waraswa usina guva,

Senhungirwa inosemwa,*

Uye wakafukidzwa nevanhu vakaurayiwa avo vakabayiwa nebakatwa,

Vanokandwa mugomba rine matombo,

Sechitunha chakatsikwa-tsikwa.

20 Hauzoiswi muguva pamwe chete navo,

Nekuti wakaparadza nyika yako,

Wakauraya vanhu vako.

Mazita evana vevanoita zvakaipa haazomboyeukwi zvakare.

21 Gadzirai pekuurayira vanakomana vake

Pamusana pemhosva yemadzitateguru avo,

Kuti varege kusimuka votora nyika,

Vozadza nyika yese nemaguta avo.”

22 “Ndichavarwisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.

“Ndichaparadza zita nevakasara nechizvarwa nevazukuru muBhabhironi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

23 “Ndichariita nzvimbo yenungu nemachakwi, uye ndicharitsvaira nemutsvairo wekutsakatisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.

24 Jehovha wemauto apika achiti:

“Zvichaitika sezvandaida,

Uye zvichaitika sezvandakasarudza.

25 Ndichapwanya muAsiriya munyika yangu,

Uye ndichamutsika-tsika mumakomo angu.+

Joko rake richabviswa pavari,

Uye mutoro wake uchabviswa papfudzi ravo.”+

26 Izvi ndizvo zvasarudzirwa nyika yese,

Uye urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa* marudzi ese.

27 Nekuti Jehovha wemauto asarudza,

Ndiani angaita kuti zvitadze kuitika?+

Ruoko rwake rwakatambanudzwa,

Ndiani angarudzosa?+

28 Gore rakafa Mambo Ahazi,+ pakataurwa chirevo ichi:

29 “Usafara Firistiya, chero ani zvake wako,

Nekungoti chete mudonzvo wemunhu anokurova watyoka.

Nekuti pamudzi wenyoka+ pachabuda nyoka ine uturu,+

Uye mwana wayo achava nyoka yemoto inobhururuka.*

30 Matangwe evakaderera paanenge achidya,

Uye varombo pavanenge vakarara pasi vakachengeteka,

Ndichaita kuti mudzi wako ufe nenzara,

Uye vanosara vako vachaurayiwa.+

31 Ridza mhere, haiwa iwe gedhi! Shevedzera, haiwa iwe guta!

Imi mese muchashaya simba, haiwa imi vaFiristiya!

Nekuti pane utsi huri kubva kuchamhembe,

Uye uto rake harina munhu ari kutamburira kufamba.”

32 Vanofanira kupindura vachiti kudii kunhume dzerudzi rwacho?

Kuti Jehovha avaka nheyo dzeZiyoni,+

Uye kuti vaya vakaderera pavanhu vake vachapotera mariri.

15 Mutongo weMoabhi:+

Nekuti yaparadzwa neusiku humwe chete,

Ari+ yeMoabhi yanyararidzwa.

Nekuti yaparadzwa neusiku humwe chete,

Kiri+ yeMoabhi yanyararidzwa.

 2 Iye akwidza kuImba* uye kuDhibhoni,+

Kunzvimbo dzakakwirira kunochema.

Moabhi inoungudza pamusoro peNebho+ nepamusoro peMedhebha.+

Misoro yese yagerwa muparavara,+ ndebvu dzese dzachekererwa.+

 3 Vakapfeka masaga vari mumigwagwa yayo.

Vese vanoridza mhere vari pamatenga edzimba dzavo uye mumisika yavo;

Vanoburuka vachisvimha misodzi.+

 4 Maguta eHeshbhoni neEreyare+ anoshevedzera;

Inzwi rawo rinonzwika kusvikira kuJahazi.+

Ndokusaka varume veMoabhi vane zvombo vachiramba vachishevedzera.

Iye ari kudedera.*

 5 Mwoyo wangu unoshevedzera pamusoro peMoabhi.

Vanhu vayo vari kutiza vasvika kuZoari+ neEgrati-sherishiya.+

Vanochema sezvavanokwidza pamukwidza weRuhiti;

Vanochema nezvenjodzi yacho sezvavanoenda kuHoronaimu.+

 6 Nekuti mvura yeNimurimu yaoma;

Uswa hwaoma,

Uswa hwapera uye hapasisina chakasvibirira.

 7 Ndokusaka vachitakura zvasara munochengeterwa zvinhu zvavo uye papfuma yavo;

Vari kuyambuka bani remiti* yemishambangwena.

 8 Nekuti kuchema kwacho kunoita maungira munharaunda yese yeMoabhi.+

Kuungudza kwacho kunosvika kuEgraimu;

Kuungudza kwacho kunosvika kuBheeri-erimu.

 9 Nekuti mvura yepanzvimbo inonzi Dhimoni yazara ropa,

Uye ndine zvimwe zvekuunza paDhimoni:

Shumba pane vaya vanopukunyuka veMoabhi

Uye pane vaya vasara munyika yacho.+

16 Tumirai mutongi wenyika yacho gondohwe,

Ribve kuSera, ropfuura nemurenje

Richienda kugomo remwanasikana weZiyoni.

 2 Seshiri yadzingwa mudendere rayo,+

Ndizvo zvichaita vanasikana veMoabhi pamazambuko eAnoni.+

 3 “Ipa mazano, ita zvakasarudzwa.

Ita kuti mumvuri wako uite seusiku pamasikati makuru.

Hwandisa vakaparadzirwa uye usatengesa vaya vari kutiza.

 4 Vanhu vangu vakaparadzirwa ngavagare mauri, haiwa iwe Moabhi.

Iva nzvimbo yekuti vahwande anoparadza.+

Mudzvinyiriri achasvika pamagumo ake,

Kuparadza kuchaguma,

Uye vaya vanotsika-tsika vamwe vachapera panyika.

 5 Chigaro cheumambo chichasimbiswa kwazvo nerudo rusingachinji.

Uya achagara pachiri mutende raDhavhidhi achange akatendeka;+

Achatonga zvakanaka, achikurumidza kuita zvakarurama.”+

 6 Takanzwa nezvekudada kweMoabhi, iyo inodada chaizvo,+

Iko kuzvikudza kwayo nekudada kwayo nekushatirwa kwayo;+

Asi hapana chichabuda pakuwawata kwayo.

 7 Saka Moabhi ichachema Moabhi;

Vese vacharidza mhere.+

Vaya vakarohwa vachachema makeke emazambiringa akaomeswa eKiri-hareseti.+

 8 Nekuti minda yeHeshbhoni+ yaoma,

Kana uri muzambiringa weSibma,+

Vatongi vemarudzi vatsika-tsika mapazi awo matsvuku-tsvuku;*

Iwo akanga asvika kuJazeri;+

Akanga atambanuka kusvika kurenje.

Nhungirwa dzawo dzakanga dzapararira kusvika kugungwa.

 9 Ndokusaka ndichachema muzambiringa weSibma sekuchema kwangu Jazeri.

Ndichakunyorovesa nemisodzi yangu, haiwa iwe Heshbhoni neEreyare,+

Nekuti kushevedzera pamusoro pemichero yako yezhizha nepamusoro pegoho rako kwapera.*

10 Kupembera nemufaro uye kufara zvabviswa mumunda wemichero,

Uye muminda yemizambiringa hamusi kushevedzerwa kana kuimbwa nziyo dzemufaro.+

Uya anotsika muchisviniro achisvina waini haachaiti basa rake,

Nekuti ndaita kuti kushevedzera kupere.+

11 Ndokusaka ndichidedera nechemukati pamusoro peMoabhi,+

Sezvinoita tambo dzerudimbwa,

Uye mwoyo wangu pamusoro peKiri-hareseti.+

12 Kunyange Moabhi paanozvinetesa panzvimbo yakakwirira uye paanoenda kunzvimbo yake tsvene kunonyengetera, haana chaachabura.+

13 Iri ndiro shoko rakambotaurwa kare naJehovha nezveMoabhi. 14 Zvino zvanzi naJehovha: “Mumakore matatu, semakore emunhu wemaricho,* kukudzwa kunoitwa Moabhi kuchava kunyadziswa nemhaka yenyonganyonga yemarudzi ese, uye vaya vanosara vachava vashomanana, vasina simba.”+

17 Mutongo pamusoro peDhamasiko:+

“Inzwai! Dhamasiko ichange isisiri guta,

Uye ichava murwi wematombo.+

 2 Maguta eAroeri+ achasiyiwa asina munhu;

Achava nzvimbo dzekuti mapoka ezvipfuwo arare

Pasina anoavhundutsa.

 3 Maguta akakomberedzwa nemasvingo achanyangarika muEfremu,+

Neumambo muDhamasiko;+

Uye vaya vachasara pavaSiriya

Vachange vakafanana nekukudzwa kwevaIsraeri,”* ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.

 4 “Zuva iroro kukudzwa kwaJakobho kuchadzikira,

Uye muviri wake une utano* uchaonda.

 5 Zvichange zvakaita sepaya panochekwa zviyo* mumunda nemukohwi

Uye ruoko rwake parunocheka hura* dzezviyo,

Sezvinoitwa nemunhu anounganidza hura dzezviyo dzakasaririra muBani reRefaimu.+

 6 Pachangosara zvinonhongwa nevanounganidza zvinosaririra,

Sepaya panozunzwa muorivhi:

Maorivhi maviri kana matatu akaibva ndiwo chete anosara pabazi repamusorosoro,

Mana chete kana mashanu pamapazi awo anobereka,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha Mwari waIsraeri.

7 Zuva iroro munhu achatarisa kumusoro kuMuiti wake, uye maziso ake acharamba akatarisa Mutsvene waIsraeri. 8 Haazotarisi atari,+ iro basa remaoko ake;+ uye haazorambi akatarisa zvakagadzirwa neminwe yake, angava mapango anoyera* kana zvigadziko zvekupisira rusenzi.

 9 Zuva iroro maguta ake ekuhwanda achaita senzvimbo yemusango yakasiyiwa,+

Sebazi rakasiyiwa pamberi pevaIsraeri;

Pachangosara nzvimbo isina chinhu.

10 Nekuti wakanganwa Mwari+ weruponeso rwako;

Hauna kuyeuka Dombo,+ iyo nhare yako.

Ndokusaka uchidyara minda yemiti yakanaka*

Uye uchidyaramo nhungirwa yeuya wausingazivi.*

11 Masikati unonyatsokomberedza miti yako neruzhowa,*

Mangwanani unoita kuti mbeu yako imere,

Asi goho richanyangarika pazuva rechirwere nemarwadzo asingarapiki.+

12 Teererai! Kune nyonganyonga yevanhu vazhinji,

Vasina kugadzikana semakungwa!

Kune zhowezhowe remarudzi,

Ayo ane ruzha runotinhira semvura ine simba!

13 Marudzi achaita ruzha runotinhira semvura zhinji.

Iye achaatuka uye iwo achatizira kure,

Achidzingirirwa sehundi yemumakomo iri kupeperetswa nemhepo,

Semasora anobaya ari kutenderedzwa nedutu.

14 Manheru pane kutya kukuru.

Mangwanani asati asvika, havasisipo.

Uyu ndiwo mugove wevaya vanotitorera zvinhu nechisimba

Uye ndizvo zvichawanikwa nevaya vanotipamba.

18 Ine nhamo nyika yezvipembenene zvine mapapiro anorira

Iri munzvimbo yenzizi dzeItiopiya!+

 2 Inotuma nhume nemugungwa

Dziri muzvikepe zvenhokwe mumvura, ichiti:

“Endai, imi nhume dzinokurumidza,

Kurudzi rwevanhu varefu uye vane ganda rinotsvedzerera,

Kuvanhu vanotyiwa kwese kwese,+

Kurudzi rune simba uye runokunda,*

Rune nyika yakakukurwa nenzizi.”

 3 Imi mese vagari vemunyika nemi vagari vepasi,

Zvamuchaona zvichaita sechiratidzo chakasimudzwa* pamakomo,

Uye muchanzwa ruzha rwakaita sekurira kwehwamanda.

 4 Nekuti Jehovha akati kwandiri:

“Ndicharamba ndakanyarara ndotarisa nzvimbo* yangu isingachinji,

Sekupisa kunoita zuva parinenge rakacheka nyika,

Segore redova pakupisa kwenguva yekukohwa.

 5 Nekuti kukohwa kusati kwasvika,

Kutumbuka pakunopera uye ruva parinova zambiringa rava kuibva,

Nhungirwa dzichabviswa nemapanga ekuchekerera miti

Uye tumapazi tunotanda tuchadimburwa twobviswa.

 6 Zvese zvichasiyirwa shiri dzemumakomo dzinodya nyama

Nemhuka dzepanyika.

Shiri dzinodya nyama dzichapedzera zhizha pazviri,

Uye mhuka dzese dzepanyika dzichapedzera nguva yekukohwa pazviri.

 7 Panguva iyoyo pachaunzwa chipo kuna Jehovha wemauto,

Chichibva kuvanhu varefu, vane ganda rinotsvedzerera,

Vanhu vanotyiwa kwese kwese,

Rudzi rune simba uye runokunda,*

Rune nyika yakakukurwa nenzizi

Chichienda kunzvimbo ine zita raJehovha wemauto, Gomo reZiyoni.”+

19 Mutongo pamusoro peIjipiti:+

Teererai! Jehovha akatasva gore rinomhanya kwazvo uye ari kupinda muIjipiti.

Vanamwari veIjipiti vasina zvavanobatsira vachadedera pamberi pake,+

Uye mwoyo yevaIjipiti ichapera nekutya.

 2 “Ndichakusvudzira vaIjipiti kuti varwe nevaIjipiti,

Uye vacharwisana,

Mumwe nemumwe achirwisa hama yake nemuvakidzani wake,

Guta richirwisa guta, umambo huchirwisa umambo.

 3 Ijipiti ichavhiringidzika,

Uye ndichavhiringidza zvirongwa zvayo.+

Vachaenda kuna vanamwari vasina zvavanobatsira,

Kune vanoita zvemashiripiti nemasvikiro nevafemberi.+

 4 Ndichaisa Ijipiti muruoko rwatenzi akaoma,

Uye vachatongwa namambo ane utsinye,”+ ndizvo zvinotaurwa naIshe wechokwadi, Jehovha wemauto.

 5 Mvura yemugungwa ichaomeswa,

Uye rwizi ruchapwa rwooma.+

 6 Uye nzizi dzichanhuhwa;

Migero yeIjipiti yeRwizi rwaNire ichadzikira yopwa.

Tsanga nenhokwe zvichaora.+

 7 Zvinhu zvakamera pedyo neRwizi rwaNire, panodira Rwizi rwaNire,

Neminda yese yakadyarwa mbeu iri pedyo naNire+ zvichaoma.+

Zvichapeperetswa, uye hazvizovipozve.

 8 Vabati vehove vachachema,

Vaya vanokanda zvirauro muRwizi rwaNire vacharatidza kuti vari kurwadziwa,

Uye vaya vanotambanudzira mambure avo mumvura vachava vashoma.

 9 Vaya vanoshandisa tambo dzemufurakisi*+

Nevaya vanogadzira machira machena pamudziyo wekugadzirisa machira vachanyadziswa.

10 Varuki vayo vachaodzwa mwoyo;

Vashandi vemaricho vese vachashungurudzika.*

11 Machinda eZoani+ mapenzi.

Vanachipangamazano vaFarao avo vakachenjera kupfuura vese, vanopa mazano asina musoro.+

Mungati sei kuna Farao:

“Ndiri muzukuru wevakachenjera,

Muzukuru wemadzimambo ekare”?

12 Zvino varume vako vakachenjera varipi?+

Ngavakuudze kana vachiziva zvasarudzirwa Ijipiti naJehovha wemauto.

13 Machinda eZoani aita zveupenzi;

Machinda eNofi*+ anyengerwa;

Vakuru vemadzinza eIjipiti vatsausa Ijipiti.

14 Jehovha aita kuti ivhiringidzike;+

Uye vatsausa Ijipiti pane zvese zvainoita,

Ikaita sechidhakwa chiri kudzedzereka pamarutsi acho.

15 Ijipiti haizovi nebasa chero ripi zvaro rekuita,

Ringava rinoitwa nemusoro kana muswe, nhungirwa kana nhokwe.*

16 Zuva iroro Ijipiti ichaita sevakadzi, ichidedera uye ichitya nemhaka yeruoko runotyisa rwayakasimudzirwa naJehovha wemauto.+ 17 Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa chaizvo kuvaIjipiti. Vachatya zvikuru panongotaurwa nezvayo nemhaka yezvakasarudzwa naJehovha wemauto pamusoro pavo.+

18 Zuva iroro pachava nemaguta mashanu munyika yeIjipiti anotaura mutauro weKenani+ uye achatsidza kutsigira Jehovha wemauto. Rimwe guta richanzi Guta Rekuputsa.

19 Zuva iroro pakati penyika yeIjipiti pachava neatari yaJehovha uye mbiru yaJehovha pamuganhu wayo. 20 Ichava chiratidzo uye chapupu pamusoro paJehovha wemauto munyika yeIjipiti; nekuti vachachema kuna Jehovha nemhaka yevadzvinyiriri, uye achavatumira muponesi, iye mukuru, uyo achavaponesa. 21 Jehovha achazivikanwa nevaIjipiti, uye vaIjipiti vachaziva Jehovha pazuva iroro; vachapa zvibayiro nezvipo uye vachaita mhiko kuna Jehovha voizadzisa. 22 Jehovha acharova Ijipiti,+ achairova oiporesa. Vachadzoka kuna Jehovha, uye iye achanzwa kuteterera kwavo ovaporesa.

23 Zuva iroro pachava nemugwagwa mukuru+ unobuda muIjipiti uchienda kuAsiriya. Asiriya ichabva yaenda kuIjipiti, uye Ijipiti ichaenda kuAsiriya. Ijipiti ichashumira Mwari pamwe chete neAsiriya. 24 Zuva iroro Israeri ichava yechitatu iri pamwe neIjipiti neAsiriya,+ iri chikomborero pakati penyika, 25 nekuti Jehovha wemauto achange aikomborera, achiti: “Vanhu vangu, iyo Ijipiti, nebasa remaoko angu, iyo Asiriya, nenhaka yangu, iye Israeri, ngavakomborerwe.”+

20 Gore rakatumwa muTatani* kuAshdhodhi naMambo Sagoni weAsiriya,+ akaenda kunorwisa Ashdhodhi, akaitora.+ 2 Panguva iyoyo Jehovha akataura naIsaya+ mwanakomana waAmozi, achiti: “Enda, ubvise masaga muhudyu dzako, uye ubvise shangu mutsoka dzako.” Akaita saizvozvo, achifamba asina kupfeka* uye asina shangu.

3 Jehovha akabva ati: “Mushumiri wangu Isaya zvaakafamba asina kupfeka uye asina shangu kwemakore matatu sechiratidzo+ nemucherechedzo wezvichaitika kuIjipiti+ neItiopiya,+ 4 mambo weAsiriya achaendawo nevasungwa kubva kuIjipiti+ nenhapwa dzekuItiopiya, vakomana nevarume vakwegura, avo vanenge vasina kupfeka uye vasina shangu, vaine magaro ari pachena, iko kusapfeka kweIjipiti.* 5 Vachatya kwazvo uye vachanyara neItiopiya, iyo tariro yavo uye neIjipiti yavaidada nayo.* 6 Vagari vemunyika iyi yepamahombekombe egungwa vachati pazuva iroro, ‘Tarisai muone zvaitika kutariro yedu, kwatakatizira kuti tibatsirwe uye tinunurwe pana mambo weAsiriya! Zvino tichapukunyuka sei?’”

21 Mutongo pamusoro perenje regungwa:*+

Pane chiri kuuya chakaita semadutu anopfuura nekumaodzanyemba,

Achibva kurenje, kunyika inotyisa.+

 2 Ndaratidzwa zvinhu zvinotyisa:

Munyengeri ari kunyengera,

Uye muparadzi ari kuparadza.

Kwidza, haiwa iwe Eramu! Komba, haiwa iwe Medhiya!+

Ndichagumisa kugomera kwese kwaakakonzera.+

 3 Ndokusaka ndiri kurwadziwa zvikuru.*+

Ndiri kurwadziwa

Sezvinoita mukadzi ari kusununguka.

Ndiri kushungurudzika chaizvo zvekutadza kunzwa;

Ndiri kunetseka chaizvo zvekutadza kuona.

 4 Mwoyo wangu wapera simba; ndiri kubvunda nekutya.

Rubvunzavaeni rwandaida chaizvo ruri kundidederesa.

 5 Isai midziyo patafura uye rongai zvigaro!

Idyai uye inwai!+

Simukai imi machinda, zodzai nhoo!*

 6 Nekuti Jehovha akati kwandiri:

“Enda unoisa murindi uye muudze kuti ataure zvaanoona.”

 7 Zvino iye akaona ngoro yehondo ichikwevewa nemabhiza maviri,

Ngoro yehondo yemadhongi,

Ngoro yehondo yengamera.

Akanyatsorinda, pfungwa dzese dziri pabasa.

 8 Akabva ashevedzera seshumba iri kudzvova, achiti:

“Haiwa Jehovha, ndiri kugara ndakamira panharire* masikati,

Uye ndiri panzvimbo yangu yekurinda usiku hwega hwega.+

 9 Onai zviri kuuya:

Kune varume vari mungoro yehondo iri kukwevewa nemabhiza maviri!”+

Akabva ashevedzera, achiti:

“Rawa! Bhabhironi rawa!+

Aputsira pasi mifananidzo yese yakavezwa yavanamwari varo!”+

10 Haiwa imi vanhu vangu vakapurwa,

Imi mbeu dzakabva paburiro* rangu,+

Ndakuudzai zvandanzwa kuna Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri.

11 Mutongo pamusoro peDhuma:*

Kune munhu ari kushevedzera kwandiri ari kuSeiri,+ achiti:

“Murindi, hakusati kwava kuedza here?

Murindi, hakusati kwava kuedza here?”

12 Murindi wacho akati:

“Mangwanani ari kuuya, uyewo usiku huri kuuya.

Kana muchida kubvunza, bvunzai.

Uyai zvakare!”

13 Mutongo pamusoro perenje:

Mucharara musango murenje,

Haiwa imi mapoka ari parwendo eDhedhani.+

14 Uyai nemvura kuti muchingure ane nyota,

Imi vagari vemunyika yeTema,+

Uye unzirai chingwa munhu ari kutiza.

15 Nekuti vatiza mapakatwa, vatiza bakatwa rakavhomorwa,

Vatiza uta hwakakungwa uye utsinye hwemuhondo yacho.

16 Nekuti Jehovha akati kwandiri: “Mugore rimwe chete, semakore emunhu wemaricho,* kukudzwa kwese kunoitwa Kedhari+ kuchapera. 17 Pavarwi veKedhari pachasara varume vashoma vanopfura neuta, nekuti Jehovha Mwari waIsraeri ataura.”

22 Mutongo pamusoro peBani Rechiratidzo:*+

Maita seiko zvamakwira mese pamusoro pematenga edzimba?

 2 Wakanga uzere nenyonganyonga,

Guta rine mheremhere, guta rinopembera nemufaro.

Vanhu vako vakaurayiwa havana kuurayiwa nebakatwa,

Kana kufira muhondo.+

 3 Vatungamiriri vako vese vane utsinye vakatiza pamwe chete.+

Vakasungwa pasina kurwiswa neuta.

Vaya vese vakawanikwa vakabva vasungwa,+

Kunyange zvazvo vakanga vatizira kure.

 4 Ndokusaka ndakati: “Musaramba makanditarisa,

Uye ndichachema chaizvo.+

Musaramba muchiedza kundinyaradza

Pamusoro pekuparadzwa kwemwanasikana* wevanhu vangu.+

 5 Nekuti izuva rekuvhiringidzika nerekukundwa nerekurohwa nehana+

MuBani Rechiratidzo,

Zuva rinobva kuna Changamire Ishe, Jehovha wemauto.

Masvingo ari kuputswa+

Uye vanhu vari kushevedzera kugomo.

 6 Eramu+ yatora homwe yemiseve

Nengoro dzine vanhu nemabhiza,*

Uye Kiri+ yagadzirira nhoo.*

 7 Mapani ako akanaka chaizvo

Achazara nengoro dzehondo,

Uye mabhiza achamira panzvimbo dzawo* pagedhi,

 8 Uye chinovhariridza* Judha chichabviswa.

“Pazuva iroro uchatarisa kunochengeterwa zvombo zveImba yeSango reRebhanoni,+ 9 uye muchaona nzvimbo zhinji dzakatsemuka dzeGuta raDhavhidhi.+ Muchachengeta mvura mudziva rezasi.+ 10 Muchaverenga dzimba dzemuJerusarema, uye muchaputsa dzimba kuti musimbise rusvingo. 11 Muchagadzira dziva pakati pemasvingo maviri rekuisa mvura yedziva rekare, asi hamuzotarisi kuMuiti waro Mukuru, uye hamuzooni iye akaita kuti rivepo kare kare.

12 Zuva iroro, Changamire Ishe, Jehovha wemauto,

Acharayira kuti pave nekuchema nekusvimha misodzi,+

Kuti misoro igerwe uye kuti vanhu vapfeke masaga.

13 Asi pane kuita izvi, pane mhemberero nemufaro mukuru,

Kuurayiwa kwemombe nemakwai,

Kudya nyama uye kunwa waini.+

‘Ngatidye uye ngatinwe, nekuti mangwana tichafa.’”+

14 Jehovha wemauto akabva azivisa izvi munzeve dzangu: “‘Hamuzoyananisirwi kukanganisa uku kusvikira mafa,’+ anodaro Changamire Ishe, Jehovha wemauto.”

15 Zvanzi naChangamire Ishe, Jehovha wemauto: “Pinda mune mutariri uyu, Shebna,+ uyo ari kuona nezveimba yacho,* uti, 16 ‘Uri kudei pano, uye uri kuda ani pano, zvawakazvicherera guva pano?’ Ari kuzvicherera guva panzvimbo yakakwirira; ari kuzvicherera nzvimbo yekuzororera* paibwe. 17 ‘Inzwa! Jehovha achakukanda pasi zvine simba, haiwa iwe murume, uye achakubvuta nesimba. 18 Achakupeta-peta zvakasimba okukanda sebhora munyika yakafara. Uchafira ikoko, uye ikoko ndiko kuchava nengoro dzekukudzwa kwako, zvoita kuti imba yatenzi wako inyadziswe. 19 Ndichakubvisa pachinzvimbo chako, ndokudzinga pabasa rako.

20 “‘Pazuva iroro ndichashevedza mushumiri wangu Eriyakimu+ mwanakomana waHirikiya, 21 ndomupfekedza nguo yako. Ndichasunga zvakasimba bhandi rako rejira paari,+ ndoisa masimba ako muruoko rwake. Uye achava baba kuvagari vemuJerusarema nekuimba yaJudha. 22 Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi+ papfudzi rake. Achavhura uye hapana achavhara; achavhara uye hapana achavhura. 23 Ndichamurovera sehoko panzvimbo yakasimba, uye achaita sechigaro cheumambo chekukudzwa kuimba yababa vake. 24 Uye vachaturika paari kukudzwa* kwese kweimba yababa vake, kureva vazukuru nevana vake,* iyo midziyo yese midiki, midziyo yakaita sendiro, pamwe chete nezvirongo zvese zvihombe.

25 “‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘hoko yakaroverwa panzvimbo yakasimba ichabviswa,+ uye ichatemwa yowira pasi, uye zvinhu zvayakatakura zvichawira pasi zvoparara, nekuti Jehovha pachake ataura.’”

23 Mutongo pamusoro peTire:+

Ridzai mhere imi ngarava dzeTashishi!+

Nekuti chiteshi chengarava chaparadzwa; hachichapindiki.

Vazviratidzwa vari kunyika yeKitimu.+

 2 Nyararai imi vagari vemunyika yepamhenderekedzo yegungwa.

Vatengesi vanobva kuSidhoni+ avo vanoyambuka gungwa, vakupfumisai.

 3 Zviyo* zveShihori* zvakaenda zviri pamusoro pemvura zhinji,+

Pamwe chete negoho raNire, mari inowanikwa neTire,

Zvikaunza mubereko kumarudzi.+

 4 Nyara, iwe Sidhoni, iwe nhare* yegungwa,

Nekuti gungwa rati:

“Handina kumbova nemarwadzo ekusununguka, uye handina kumbobereka,

Kana kurera majaya kana mhandara.”*+

 5 Vanhu vacharwadziwa kwazvo pavachaudzwa nezveTire,+

Sezvavakaita pavakaudzwa nezveIjipiti.+

 6 Yambukai muende kuTashishi!

Ridzai mhere imi vagari vemunyika yepamhenderekedzo yegungwa!

 7 Iri ndiro here guta renyu raipembera nemufaro kubvira kare kare, panguva yaro yepakutanga?

Tsoka dzaro dzaimboriendesa kunyika dziri kure kunogara ikoko.

 8 Ndiani asarudzira Tire izvi,

Iro guta rekupa korona,

Raiva nevanhu vanotengesa vaiva machinda,

Raiva nevanhu vaiita bhizimisi rekuchinjanisa zvinhu vaikudzwa pasi pese?+

 9 Jehovha wemauto pachake ndiye asarudza izvi,

Kuti ashayise basa kudada kwarinoita kunokonzerwa nerunako rwaro rwese,

Kuti aninipise vaya vese vaikudzwa pasi pese.+

10 Pararira uzadze nyika yako seRwizi rwaNire, iwe mwanasikana weTashishi.

Hapasisina kana nzvimbo yengarava.*+

11 Atambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa;

Azunza umambo.

Jehovha arayira kuti nhare dzeFenikiya dziparadzwe.+

12 Uye anoti: “Hauchazopemberizve nemufaro,+

Iwe akadzvinyirirwa, mhandara yeSidhoni.

Simuka uyambuke uchienda kuKitimu.+

Kunyange ikoko hauzowani zororo.”

13 Tarisai nyika yevaKadheya.+

Ndivo vanhu vacho, kwete Asiriya,+

Vakaiita nzvimbo yevaya vanogara mugwenga.

Vakamisa shongwe dzekushandisa pakukomba kuti varwise;

Vakasiya shongwe dzayo dzava pachena,+

Vakaisiya yangova matongo.

14 Ridzai mhere imi ngarava dzeTashishi,

Nekuti nhare yenyu yaparadzwa.+

15 Zuva iroro Tire ichakanganwika kwemakore 70,+ kufanana nenguva inoraramwa namambo mumwe chete. Panopera makore 70, Tire ichafanana nepfambi inoimbwa murwiyo runoti:

16 “Tora rudimbwa, upoterere guta, iwe pfambi yakakanganwika.

Ridza rudimbwa rwako neunyanzvi;

Imba nziyo dzakawanda,

Kuti varege kukukanganwa.”

17 Panopera makore 70, Jehovha achafunga nezveTire, uye ichatangazve kubhadharwa, yoita upfambi neumambo hwese huri panyika. 18 Asi mubereko wayo nemubhadharo wayo zvichava zvinhu zvitsvene kuna Jehovha. Hazvizochengetwi kana kuunganidzwa kuti zvizoshandiswa, nekuti mubhadharo wayo uchava wevaya vanogara pamberi paJehovha, kuti vadye vachiguta uye kuti vapfeke zvipfeko zvakanaka chaizvo.+

24 Inzwai! Jehovha ari kubvisa zvinhu zvese munyika* achiisiya isina chinhu.+

Anoipidigura+ oparadzira vagari vayo.+

 2 Vese vachaitirwa zvakafanana:

Vanhu uyewo mupristi,

Muranda natenzi wake,

Muranda natenzikadzi wake,

Anotenga neanotengesa,

Ari mubhizimisi rekupa zvikwereti neanopiwa chikwereti,

Akakweretesa neakakwereta.+

 3 Nyika ichabviswa zvinhu zvese zviri mairi;

Ichapambwa zvinhu zvese,+

Nekuti Jehovha ataura shoko iri.

 4 Nyika iri kuchema;*+ iri kuparara.

Nyika iri kusvava; iri kupera basa.

Vanhu vanokudzwa vemunyika yacho vapera simba.

 5 Nyika yasvibiswa nevagari vayo,+

Nekuti vatyora mitemo,+

Vachinja murau,+

Uye vaputsa sungano inogara kwenguva refu.*+

 6 Ndokusaka kutuka kuchiparadza nyika yacho,+

Uye vaya vanogara mairi vachinzi vane mhosva.

Ndokusaka vagari vemunyika yacho vava vashoma,

Uye pasara varume vashomanana.+

 7 Waini itsva iri kuchema,* muzambiringa uri kuoma,+

Uye vaya vese vane mwoyo iri kufara vari kugomera.+

 8 Mufaro wekurira kwematambureni wapera;

Ruzha rwevaya vanoita mafaro akanyanyisa rwaguma;

Kurira kunonakidza kwerudimbwa kwapera.+

 9 Vanonwa waini pasina rwiyo,

Uye doro ravari kunwa riri kuvava.

10 Guta rekusiyiwa, raputsika;+

Dzimba dzese dzavharwa kuti parege kuva neanopinda.

11 Vanochemera waini mumigwagwa.

Kufara kwese kwanyangarika;

Mufaro wenyika yacho wapera.+

12 Guta rasiyiwa angova matongo;

Gedhi rapwanyiwa rikasara rangova murwi.+

13 Nekuti izvi ndizvo zvazvichange zvakaita munyika yacho pakati pemarudzi:

Sezvinoitika panozunzwa muorivhi,+

Semazambiringa mashoma anosara kana kukohwa kwapera.+

14 Vachakwidza inzwi ravo,

Vachashevedzera vachifara.

Vachazivisa nezveukuru hwaJehovha vari kugungwa.*+

15 Ndokusaka vachakudza Jehovha vari munharaunda yechiedza;*+

Vachakudza zita raJehovha Mwari waIsraeri muzvitsuwa zvegungwa.+

16 Tiri kunzwa nziyo kumigumo yenyika, dzichiti:

“Iye Akarurama ngaakudzwe!”*+

Asi ndinoti: “Ndiri kuperezeka, ndiri kuperezeka!

Ndine nhamo! Vanyengeri vanyengera;

Neunyengeri hwavo, vanyengeri varatidza unyengeri.”+

17 Kutya kukuru nemakomba nezviteyeso zvakakumirira, iwe mugari wemunyika.+

18 Wese anenge achitiza ruzha runotyisa achawira mugomba,

Uye wese anenge achibuda mugomba achabatwa nechiteyeso.+

Nekuti magedhi emvura ari kumusoro achavhurwa,

Uye nheyo dzenyika dzichazununguka.

19 Nyika yatsemuka;

Nyika yazununguswa;

Nyika yagwinha-gwinha zvine simba.+

20 Nyika iri kudzedzereka sechidhakwa,

Uye iri kuzunguzika sekaimba kari kuzunguzwa nemhepo.

Kukanganisa kwayo kuri kuiremera chaizvo,+

Uye ichawa, zvekuti haizosimukizve.

21 Zuva iroro Jehovha achafunga nezvekutonga uto rekumusoro

Uye madzimambo enyika ari panyika.

22 Uye vachaunganidzwa

Sevasungwa vakaunganidzwa mugomba,

Uye vachavharirwa mujeri repasi;

Papera mazuva mazhinji, vachaonekwa kuti voitwa sei.

23 Jenaguru richatsverudzwa,

Uye zuva rinopenya richanyara,+

Nekuti Jehovha wemauto ava Mambo+ muGomo reZiyoni+ nemuJerusarema,

Achibwinya pamberi pevakuru vevanhu vake.*+

25 Haiwa Jehovha, muri Mwari wangu.

Ndinokukudzai, ndinorumbidza zita renyu,

Nekuti makaita zvinhu zvinoshamisa;+

Makasarudza zvinhu izvi kare,+

Mukutendeka+ nemukuvimbika.

 2 Nekuti makaita kuti guta rive murwi wematombo,

Uye kuti guta rakakomberedzwa nemasvingo rive matongo.

Shongwe yemunhu wekune imwe nyika haisisiri guta;

Haichazombovakwizve.

 3 Ndokusaka muchakudzwa nerudzi rune simba;

Guta remarudzi anodzvinyirira richakutyai.+

 4 Nekuti mava nhare* kune akaderera,

Nhare kumurombo pakutambudzika kwake,+

Pekuhwanda mvura ine simba,

Nemumvuri pakupisa.+

Dutu revanodzvinyirira parinenge rakaita semvura inonaya ichirovera pamadziro nesimba,

 5 Parinenge rakaita sekupisa kunenge kuri munyika yakaoma,

Imi munokunda ruzha rwevatorwa.

Sekukurirwa kunoita kupisa nemumvuri wegore,

Rwiyo rwevanodzvinyirira runonyaradzwa.

 6 Mugomo iri,+ Jehovha wemauto achaitira marudzi ese

Mabiko emachikichori ezvekudya,+

Mabiko ewaini yakanaka kwazvo,*

Emachikichori azere nemwongo,

Ewaini yakanaka kwazvo, yakasvinwa.

 7 Mugomo iri achaparadza* chifukidziro chakafukidza marudzi ese,

Nejira rakarukirirwa richivhara marudzi ese.

 8 Achaparadza rufu zvachose,+

Uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvese.+

Achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yese,

Nekuti Jehovha pachake azvitaura.

 9 Pazuva iroro vachati:

“Onai! Uyu ndiye Mwari wedu!+

Takatarisira kwaari,+

Uye iye achatiponesa.+

Uyu ndiye Jehovha!

Takatarisira kwaari.

Ngatifarei, tifarire ruponeso rwake chaizvo.”+

10 Nekuti ruoko rwaJehovha ruchauya rwogara pagomo iri,+

Uye Moabhi ichatsikwa-tsikwa munzvimbo yayo+

Semashanga anotsikwa-tsikwa kusvikira ava murwi wemupfudze.

11 Achatambanudza maoko ake achiapinza mairi

Sekutambanudza maoko kunoitwa neanoshambira kuti ashambire,

Uye achaderedza kuzvikudza kwayo+

Paachafambisa maoko ake neunyanzvi.

12 Uye guta rakakomberedzwa nemasvingo, rine masvingo akakwirira ekudzivirira,

Acharidonhedza;

Achariwisira pasi, muguruva chaimo.

26 Pazuva iroro rwiyo urwu ruchaimbwa+ munyika yeJudha:+

“Tine guta rakasimba.+

Iye anoita kuti ruponeso ruve masvingo aro nemirwi yaro yevhu yekudzivirira.+

 2 Vhurai magedhi+ kuti rudzi rwakarurama rupinde,

Irwo rudzi ruri kuramba rwakatendeka.

 3 Muchachengetedza vaya vanovimba nemi zvizere;*

Muchaita kuti varambe vaine rugare,+

Nekuti ivo vanovimba nemi.+

 4 Vimbai naJehovha nekusingaperi,+

Nekuti Jah* Jehovha iDombo rinogara nekusingaperi.+

 5 Nekuti aderedza vaya vari kugara kumusoro, iro guta rakakwirira.

Anoriwisira pasi,

Anoriwisira muvhu;

Anorikanda pasi, muguruva.

 6 Richatsikwa-tsikwa netsoka,

Idzo tsoka dzevanotambudzika, nhanho dzevakaderera.”

 7 Nzira yemunhu akarurama yakatwasuka.*

Nekuti makarurama,

Muchaita kuti nzira yevakarurama iti chechetere.

 8 Sezvatinofamba munzira yemitongo yenyu, haiwa Jehovha,

Takatarisira kwamuri.

Mwoyo* yedu inoda zita renyu uye tinoda kuti riyeukwe.*

 9 Ndinokufungai chaizvo usiku,

Chokwadi mweya wangu unoramba uchikutsvagai;+

Nekuti kana panyika paine mitongo inobva kwamuri,

Vagari vepanyika vanodzidza nezvekururama.+

10 Kunyange kana munhu akaipa akanzwirwa nyasha,

Haazodzidzi kururama.+

Kunyange munyika yekururama* achaita zvakaipa+

Uye haazooni ukuru hwaJehovha.+

11 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaruoni.+

Vachaona kushingaira kwamunoitira vanhu venyu, uye vachanyadziswa.

Chokwadi moto wekupisa mhandu dzenyu uchadziparadza.

12 Haiwa Jehovha, muchatipa rugare,+

Nekuti zvese zvatakaita

Ndimi makatiitira.

13 Haiwa Jehovha Mwari wedu, takatongwa nevamwe vanatenzi vasiri imi,+

Asi zita renyu chete ndiro ratinotaura nezvaro.+

14 Ivo vakafa; havazorarami.

Vakafa uye havana simba, havazomuki.+

Nekuti makafunga nezvavo

Kuti muvaparadze uye kuti muite kuti vasambotaurwa nezvavo.

15 Makaita kuti rudzi rukure, haiwa Jehovha,

Makaita kuti rudzi rukure;

Makaita kuti mukudzwe.+

Makaita kuti nyika iwedzere kukura kumiganhu yayo yese.+

16 Haiwa Jehovha, ivo vakauya kwamuri pakutambudzika;

Pamakavaranga, vakanyengetera vachitaura zvese, vachiita zvekuzevezera.+

17 Sezvinoita mukadzi ane pamuviri ava kuda kusununguka

Uyo anorwadziwa nekusununguka, uye anoshevedzera achirwadziwa,

Ndizvo zvatiriwo nekuda kwenyu, haiwa Jehovha.

18 Takava nepamuviri, takarwadziwa nekusununguka,

Asi zvakangoita sekuti takanga tabereka mhepo.

Hatina kuita kuti nyika ipone,

Uye hapana ari kuberekwa kuti agare munyika.

19 “Vakafa venyu vachararama.

Zvitunha zvangu* zvichamuka.+

Mukai mupembere nemufaro,

Imi vagari vemuguruva!+

Nekuti dova renyu rakaita sedova remangwanani,*

Uye nyika icharega vaya vasina simba vari murufu vachiva vapenyu.*

20 Endai vanhu vangu, mupinde mudzimba dzenyu dzemukati,

Muvhare masuo.+

Hwandai kwenguva pfupi

Kusvikira kutsamwa kwapfuura.+

21 Nekuti Jehovha ari kuuya achibva kunzvimbo yake

Kuzoita kuti vagari vemunyika vazvidavirire kukanganisa kwavo,

Uye nyika ichabudisa pachena ropa rakadeurwa pairi

Uye haizofukidzizve vanhu vayo vakaurayiwa.”

27 Zuva iroro Jehovha achashandisa bakatwa rake guru rinorwadza uye rakasimba+

Pakutonga Revhiatani,* iyo nyoka inozvonyongoka,

Revhiatani nyoka inogonya-gonya,

Uye achauraya zimhuka riri mugungwa.

 2 Imbirai mukadzi* uyu pazuva iroro, muchiti:

“Munda wemizambiringa wewaini inopupuma!+

 3 Ini Jehovha ndiri kumuchengetedza.+

Ndinomudiridza nguva dzese.+

Ndinomuchengetedza siku nesikati,

Kuti parege kuva neanomukuvadza.+

 4 Handina kutsamwa.+

Ndiani achauya pamberi pangu nemakwenzi eminzwa nemasora pakurwa?

Ndichazvitsika-tsika, ndozvipisa pamwe chete.

 5 Kana asingadi kuti zvidaro ngaatizire munhare* yangu.

Ngaaite rugare neni;

Ngaave nerugare neni.”

 6 Jakobho achadzika midzi pamazuva anouya,

Israeri achatumbuka uye achatungira,+

Uye vachazadza nyika nezvibereko.+

 7 Anofanira kurohwa zvakasimba kudaro neari kumurova here?

Kana kuti anofanira kuurayiwa sezvakaitwa vekwake vakaurayiwa here?

 8 Mucharwisana naye nekushevedzera kunovhundutsa pamunenge muchimudzinga.

Iye achamudzinga nemhepo yake ine simba inotyisa pazuva remhepo yekumabvazuva.+

 9 Saka kukanganisa kwaJakobho kuchayananisirwa nenzira iyi,+

Uye ichi ndicho chibereko chizere chichavapo pachabviswa chivi chake:

Achaita kuti matombo ese eatari

Aite sematombo emunyaka akuyiwa,

Uye hapana mapango anoyera* kana zvigadziko zvekupisira rusenzi zvichasara.+

10 Nekuti guta rakakomberedzwa nemasvingo richasara risina munhu;

Mafuro achangoregwa osiyiwa akadaro serenje.+

Mhuru ichafura imomo yorara

Uye ichadya mapazi ake.+

11 Nhungirwa dzake padzinooma,

Vakadzi vachauya vodzityora,

Vodzishandisa kuvesa moto.

Nekuti rudzi urwu harunzwisisi.+

Ndokusaka Muiti warwo asingazorunzwiri tsitsi,

Uye uya akaruumba asingazorunzwiri nyasha.+

12 Zuva iroro Jehovha achazunza muchero, kubva paRwizi* runoyerera kusvika kuRwizi* rweIjipiti,+ uye muchaunganidzwa mumwe pashure pemumwe, haiwa imi vanhu veIsraeri.+ 13 Zuva iroro hwamanda huru icharidzwa,+ uye vaya vari kuparara munyika yeAsiriya+ nevaya vakaita rumwe rumwe munyika yeIjipiti+ vachauya vokotamira Jehovha mugomo dzvene riri muJerusarema.+

28 Ine nhamo korona* yekushamisira* yezvidhakwa zvekwaEfremu+

Neruva riri kusvava rerunako rwayo rukuru,

Iro riri kumusoro kwebani rakaorera revaya vanokundwa newaini!

 2 Inzwai! Jehovha ane mumwe akagwinya uye ane simba.

Sezvinoita mvura ine mabhanan’ana nechimvuramabwe, iro dutu rinoparadza,

Sezvinoita mvura ine mabhanan’ana inofashamira,

Iye achaikanda pasi nesimba.

 3 Korona dzekushamisira* dzezvidhakwa zvekwaEfremu

Dzichatsikwa-tsikwa.+

 4 Uye ruva riri kusvava rerunako rwake rukuru,

Iro riri kumusoro kwebani rakaorera,

Richava seonde rekutanga, zhizha risati rasvika.

Munhu paanoriona, anorimedza achangoribata.

5 Pazuva iroro Jehovha wemauto achava korona yakanaka chaizvo uye chishongo chakanaka chemumusoro kune vaya vakasara pavanhu vake.+ 6 Uye achava mweya wekururama kune uya anotonga nyaya, uye kwekuwana simba kune vaya vanodzinga mhandu dzinouya kuzorwisa pagedhi.+

 7 Naivavawo vanorasika nemhaka yewaini;

Zvinwiwa zvavo zvinodhaka zvinoita kuti vadzedzereke.

Mupristi nemuprofita vanorasika nemhaka yedoro;

Waini inovavhiringidza,

Uye doro ravo rinoita kuti vadzedzereke;

Zvavanoona zvinoita kuti varasike,

Uye vanokanganisa pakutonga.+

 8 Nekuti matafura avo azere nemarutsi anosemesa;

Akazara pese pese.

 9 Ndianiko waachapa ruzivo,

Uye ndiani waachatsanangurira shoko?

Ndevaya here vachangobva kurumurwa pamukaka,

Vaya vachangobva kubviswa pamazamu?

10 Nekuti unongova “murayiro pamusoro pemurayiro, murayiro pamusoro pemurayiro,

Tambo pashure petambo, tambo pashure petambo,*+

Zvishoma pano, zvishoma apo.”

11 Saka iye achataura nevanhu ava achishandisa vaya vanokakama uye vane mutauro wekumwe.+ 12 Akambovaudza kuti: “Iyi ndiyo nzvimbo yekuzororera. Uya apera simba ngaazorore; iyi ndiyo nzvimbo inozorodza,” asi vakaramba kuteerera.+ 13 Saka kwavari shoko raJehovha richava:

“Murayiro pamusoro pemurayiro, murayiro pamusoro pemurayiro,

Tambo pashure petambo, tambo pashure petambo,*+

Zvishoma pano, zvishoma apo,”

Kuitira kuti pavanofamba,

Vagumburwe vodonha negotsi,

Votyoka, voteyiwa uye vobatwa.+

14 Saka inzwai shoko raJehovha, imi vanozvirumbidza,

Imi vatongi vevanhu ava vari muJerusarema,

15 Nekuti varume imi munoti:

“Takaita sungano neRufu,+

Uye takaita chibvumirano neGuva.*

Mafashamo ane hasha paanouya achipfuura,

Haazosviki kwatiri,

Nekuti takaita kuti nhema dzive kwekupotera kwedu

Uye takahwanda munhema.”+

16 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Ndiri kuisa dombo rakaedzwa kuti rive faundesheni muZiyoni,+

Dombo repakona rinokosha+ refaundesheni yakasimba.+

Hapana anotenda achavhunduka.+

17 Ndichaita kuti kururama kuve tambo yekuyeresa+

Uye kuti kuve tambo yekururamisa.*+

Chimvuramabwe chichakukura kwekupotera kwenhema,

Uye mvura ichafashamira nzvimbo yekuhwanda.

18 Sungano yamakaita neRufu ichaparara,

Uye chibvumirano chamakaita neGuva* hachizomiri.+

Mafashamo ane hasha paachauya achipfuura,

Achakuparadzai.

19 Pese paanopfuura,

Achakukukurai;+

Nekuti achapfuura mangwanani ega ega,

Masikati uye usiku.

Kutya kukuru kwega ndiko kuchaita kuti vanzwisise zvakanzwiwa.”*

20 Nekuti mubhedha mupfupi kwazvo zvekuti haukwani kuzvambarara pauri,

Uye jira rakarukwa idiki kwazvo zvekuti harikwani kuzviputira.

21 Nekuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimu;

Achati kwanyanu sezvaakaita mubani riri pedyo neGibhiyoni,+

Kuti aite basa rake, basa rake rinoshamisa,

Uye kuti aite basa rake, basa rake risina kujairika.+

22 Zvino regai kushora,+

Kuti zvisungo zvenyu zvirege kuwedzera kusungwa,

Nekuti ndanzwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto,

Kuti pasarudzwa kuti nyika yese iparadzwe.+

23 Ipai nzeve uye teererai inzwi rangu;

Nyatsoteererai uye inzwai zvandinotaura.

24 Murimi anoswera achirima here asingadyari mbeu?

Anongoramba achiputsa mavhinga achienzanisa ivhu mumunda make here?+

25 Paanenge auenzanisa,

Haabvi akusha kumini nhema kana kudyara kumini here,

Uye haadyari gorosi here, nemapfunde, nebhari munzvimbo yazvo

Uye haadyari sipereti*+ achipoterera muganhu here?

26 Nekuti Mwari anomudzidzisa nzira* yakarurama;

Mwari wake anomurayiridza.+

27 Nekuti kumini nhema haipurwi nechireyi chekupurisa,+

Uye vhiri rechireyi harifambiswi pamusoro pekumini.

Pane kudaro, kumini nhema inopurwa nemhuro,

Uye kumini inopurwa netsvimbo.

28 Munhu angapura zviyo* kusvika zvaita upfu hwechingwa here?

Aiwa, haarambi achingozvipura;+

Uye paanofambisa vhiri rechireyi chake nemabhiza ake pamusoro pazvo,

Haazvikuyi.+

29 Izviwo zvinobva kuna Jehovha wemauto,

Uyo ane zano rinoshamisa*

Uye akaita mabasa makuru.*+

29 “Arieri* ine nhamo, iyo Arieri, guta rakadzikwa musasa naDhavhidhi!+

Rambai muchidaro gore negore;

Mitambo yenyu yese ngairambe+ ichiitwa.

 2 Asi ndichaunza dambudziko muArieri,+

Uye pachava nekuchema nemariro,+

Uye ichava sechoto cheatari yaMwari kwandiri.+

 3 Ndichakudzikira musasa kumativi ese,

Uye ndichakukomba nematanda

Ndokuvakira masvingo ekuti ndikurwise.+

 4 Uchadzikiswa pasi;

Uchataura uri pasi,

Uye zvauchataura zvichanzwikira pasi pasi nemhaka yeguruva.

Inzwi rako richanzwika richibva muvhu+

Seinzwi resvikiro,

Uye mashoko ako achaita sekuzevezera kuri kubva muguruva.

 5 Boka revavengi vako* richaita seupfu hwakatsetseka,+

Boka revadzvinyiriri sehundi iri kupeperetswa.+

Zvichangoerekana zvaitika, pakarepo.+

 6 Jehovha wemauto achafunga nezvako

Nemabhanan’ana, nekudengenyeka kwenyika, neruzha rukuru,

Nedutu nemvura ine simba nemarimi emoto unoparadza.”+

 7 Vanhu vazhinji vemarudzi ese avo vari kurwa neArieri,+

Ivo vese vari kurwa nayo,

Shongwe dzekushandisa pakuirwisa,

Nevaya vari kuita kuti itambudzike,

Vachabva vaita sechiroto, chiratidzo cheusiku.

 8 Chokwadi zvichaita sepanorota munhu ane nzara achidya,

Asi anomuka aine nzara,*

Uye sepanorota munhu ane nyota achinwa,

Asi anomuka akaneta uye aine nyota.*

Ndizvo zvichaitawo boka remarudzi ese

Ari kurwa neGomo reZiyoni.+

 9 Katyamadzwai uye shamiswai;+

Zvipofumadzei, muve mapofu.+

Vadhakwa, asi kwete newaini;

Vari kudzedzereka, asi kwete nedoro.

10 Nekuti Jehovha aita kuti mubatwe nehope huru;+

Avhara maziso enyu, imi vaprofita,+

Uye afukidza misoro yenyu, imi vaoni.+

11 Kwamuri, chiratidzo chese chinova semashoko ebhuku rakanamwa.+ Pavanoripa mumwe munhu anogona kuverenga vachiti: “Tinokumbira kuti uriverenge zvinonzwika,” iye achati: “Handikwanisi, nekuti rakanamwa.” 12 Uye pavanopa bhuku racho kune mumwe munhu asingagoni kuverenga, vachati: “Tinokumbira kuti uriverenge zvinonzwika,” iye achati: “Handitombogoni kuverenga.”

13 Jehovha anoti: “Vanhu ava vanouya kwandiri nemiromo yavo,

Uye vanondikudza nemiromo yavo,+

Asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni;

Uye kunditya kwavo kunobva pamirayiro yevanhu yavakadzidziswa.+

14 Saka ndini ndichaitazve zvinhu zvinoshamisa nevanhu ava,+

Nechishamiso pamusoro pechishamiso;

Uye uchenjeri hwevanhu vavo vakachenjera huchaparara,

Uye kunzwisisa kwevanhu vavo vakangwara kuchavigwa.”+

15 Vane nhamo vaya vanoshanda nesimba kuti vavanzire Jehovha zvavanoronga.*+

Mabasa avo anoitirwa munzvimbo ine rima,

Vachiti: “Ndiani anotiona?

Ndiani anoziva nezvedu?”+

16 Chokwadi munomonyorora zvinhu!*

Muumbi anofanira kuonekwa seivhu here?+

Chinhu chakagadzirwa chingati here pamusoro peakachigadzira:

“Haana kundigadzira”?+

Uye chinhu chakaumbwa chingati here nezvemuumbi wacho:

“Haanzwisisi”?+

17 Munguva pfupi iri kuuya, Rebhanoni richashandurwa kuva munda wemichero,+

Uye munda wemichero uchaonekwa sesango.+

18 Zuva iroro matsi dzichanzwa mashoko ebhuku racho,

Uye maziso emapofu achaona ari pakasviba uye ari murima.+

19 Vanyoro vachafara kwazvo muna Jehovha,

Uye varombo vari pakati pevanhu vachafarira Mutsvene waIsraeri.+

20 Nekuti mudzvinyiriri achange asisipo,

Anozvirumbidza achasvika pamagumo ake,

Uye vese vanogara vakateya kuita zvakaipa vachaparadzwa,+

21 Ivo vaya vanoita kuti vamwe vave nemhosva neshoko ravo renhema,

Vaya vanoisira zviteyeso anorwira vanhu* pagedhi reguta,+

Uye vaya vanoramba kuitira munhu akarurama zvinhu zvakarurama, vachipa zvikonzero zvisina musoro.+

22 Saka Jehovha, uyo akadzikinura Abrahamu+ ari kuti kuimba yaJakobho:

“Jakobho haachazonyari zvakare,

Uyewo chiso chake hachizochenuruki zvakare.*+

23 Nekuti paanoona vana vake,

Iro basa remaoko angu, pakati pake,+

Vachatsvenesa zita rangu;

Chokwadi vachatsvenesa Mutsvene waJakobho,

Uye vacharemekedza Mwari waIsraeri zvikuru.+

24 Vaya vakatsauka vachanzwisisa,

Uye vaya vanonyunyuta vachabvuma kurayiridzwa.”

30 “Vane nhamo vanakomana vakaoma musoro,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Vanoita zvavo vega, zvandisina kuvaudza,+

Vanobatana nevamwe vanhu,* asi zvisingaitwi nemweya wangu,

Kuti vawedzere chivi pamusoro pechimwe chivi.

 2 Vanodzika kuIjipiti+ vasina kundibvunza,*+

Kuti vanodzivirirwa naFarao*

Uye kuti vahwande mumumvuri weIjipiti!

 3 Asi kudzivirira kwaFarao kuchaita kuti munyare,

Uye kuhwanda mumumvuri weIjipiti kuchaita kuti muninipiswe.+

 4 Nekuti machinda ake ari muZoani,+

Uye nhume dzake dzasvika kuHanesi.

 5 Vese vachanyadziswa

Nevanhu vasina chavanogona kuvabatsira nacho,

Vasingabatsiri uye vasingayamuri,

Asi vanongoita kuti vanyadziswe uye vazvidzwe.”+

6 Mutongo pamusoro pemhuka dzekumaodzanyemba:

Vanopfuura nemunyika yekutambudzika uye yekuomerwa,

Nyika yeshumba, shumba inoomba,

Nyika yenyoka ine uturu nenyoka yemoto inobhururuka,*

Vakatakura pfuma yavo pamisana yemadhongi

Uye zvinhu zvavo panyundwa dzengamera.

Asi zvinhu izvi hazvizobatsiri vanhu vacho.

 7 Nekuti rubatsiro rweIjipiti haruna kana maturo.+

Saka ndakatumidza uyu kuti: “Rahabhi,+ uyo anongogara asina zvaari kuita.”

 8 “Chienda uzvinyore pahwendefa pamberi pavo,

Uye zvinyore mubhuku,+

Kuti zvizoshanda pane rimwe zuva

Sechapupu chinoramba chiripo.+

 9 Nekuti ivo vapanduki,+ vanakomana vanonyengera,+

Vanakomana vasingadi kunzwa mutemo* waJehovha.+

10 Vanoti kuvaoni, ‘Musaona,’

Uye kune vanoratidzwa, ‘Musatiudza zviratidzo zvechokwadi.+

Tiudzei zvinhu zvekubata kumeso;* onai zvinhu zvenhema.+

11 Tsaukai panzira; budai mugwara.

Chiregai kuisa Mutsvene waIsraeri pamberi pedu.’”+

12 Saka zvanzi naiye Mutsvene waIsraeri:

“Sezvo muchiramba shoko iri,+

Uye muchivimba nekubiridzira nekunyengera,

Muchivimba nezvinhu izvi,+

13 Kukanganisa uku kuchava serusvingo rwakatsemuka kwamuri,

Serusvingo rwakareba rwakatsveyamira kunze rwava kuda kudonha.

Ruchangoerekana rwaputsika pakarepo.

14 Ruchaputswa sechirongo chikuru chemuumbi,

Ruchaputswa-putswa zvekuti hapana kana chimedu chichasara pazvidimbu zvarwo

Chekutoresa moto pachoto

Kana kuti chekucheresa mvura yakajenga.”*

15 Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, iye Mutsvene waIsraeri:

“Muchaponeswa kana mukadzoka kwandiri uye mukazorora;

Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.”+

Asi makanga musingadi.+

16 Pane kudaro, makati: “Aiwa tichatiza tiri pamabhiza!”

Saka muchatiza.

“Uye tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo!”+

Saka vaya vari kukuteverai vachamhanya kwazvo.+

17 Chiuru chimwe chete chichadedereswa nekutyisidzira kwemunhu mumwe chete;+

Muchatiza kutyisidzira kwevanhu vashanu

Kusvikira vanosara pakati penyu vaita sebango refu riri pamusoro pegomo,

Sebango rechiratidzo riri pachikomo.+

18 Asi Jehovha akamirira nemwoyo murefu* kuti akunzwirei nyasha,+

Uye achasimuka kuti akunzwirei tsitsi.+

Nekuti Jehovha ndiMwari anoita zvakarurama.+

Vanofara vaya vese vari kuramba vachitarisira kwaari.*+

19 Vanhu pavachagara muZiyoni, muJerusarema,+ iwe hauzombochemi.+ Chokwadi iye achakunzwira nyasha paanonzwa uchichemera kubatsirwa; achakupindura paanongonzwa kuchema kwako.+ 20 Kunyange zvazvo kutambudzika kuri iko chingwa chamuchapiwa naJehovha uye kudzvinyirirwa iri iyo mvura yaachakupai,+ Murayiridzi wenyu Mukuru haachazozvivanzizve, uye maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru.+ 21 Uye nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti, “Iyi ndiyo nzira.+ Fambai nayo,” mungava matsaukira kurudyi kana kuti kuruboshwe.+

22 Uye muchasvibisa sirivha yakaiswa pazvifananidzo zvenyu zvakavezwa uye goridhe rakaiswa pazvifananidzo zvenyu zvesimbi.*+ Muchazvikandira kure sezvinoitwa jira rinoshandiswa nemukadzi ari kumwedzi uye muchati kwazviri, “Ibvai pano!”*+ 23 Uye achapa mvura yekumeresa mbeu yaunodyara muvhu,+ uye zvekudya zvichabva paivhu zvichange zvakawanda uye zvichigutsa.*+ Pazuva iroro zvipfuwo zvako zvichafura mumafuro makuru.+ 24 Uye mombe nemadhongi zvinorima munda zvichadya chikafu chakasanganiswa nekamuti kanonzi soreri, chakaurutswa nefoshoro neforogo. 25 Mumakomo ese marefu nemuzvikomo zvese zvirefu, muchava nehova nemigero yemvura,+ pazuva rekuuraya kukuru, shongwe padzichawa. 26 Chiedza chejenaguru chichaita sechiedza chezuva; uye chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe,+ sechiedza chemazuva manomwe, pazuva iro Jehovha achasunga vanhu vake pavakakuvara*+ uye raacharapa ronda guru rakakonzerwa nekurova kwake.+

27 Onai! Zita raJehovha riri kuuya richibva kure,

Richipisa nekutsamwa kwake uye riine makore matema.

Miromo yake izere nehasha,

Uye rurimi rwake rwakaita semoto unoparadza.+

28 Mweya wake* wakaita serukova runofashamira runosvika mumutsipa chaimo,

Kuti uzunguze marudzi musefa yekuparadza;*

Uye mushaya dzemarudzi muchava nematomu+ anoita kuti arasike.

29 Asi rwiyo rwenyu ruchaita serwuya runoimbwa usiku

Pamunogadzirira* mutambo,+

Uye mwoyo yenyu ichafara sezvinoita munhu

Anofamba nenyere*

Achienda kugomo raJehovha, kuDombo raIsraeri.+

30 Jehovha achaita kuti inzwi rake guru+ rinzwiwe,

Oita kuti ruoko rwake+ ruoneke parunodzika nekutsamwa kukuru,+

Nerimi remoto unoparadza,+

Nedzvotsvotsvo remvura+ nemheni nechimvuramabwe.+

31 Nekuti Asiriya ichavhundutswa nenzwi raJehovha;+

Achairova neshamhu.+

32 Jehovha pese paacharova vaAsiriya neshamhu yake yekuranga

Pachange pachiridzwa matambureni neudimbwa,+

Paanosimudza ruoko rwake achirwa navo.+

33 Nekuti Tofeti*+ yake yakatogadzirwa nechekare;

Yakagadzirirwawo mambo.+

Iye aita kuti bakwa rehuni ridzike uye rifare,

Nemoto nehuni zvakawanda.

Mweya waJehovha wekufema, uyo wakaita serukova rwesarufa,

Uchaitungidza nemoto.

31 Vane nhamo vaya vanodzika kuIjipiti kuti vanobatsirwa,+

Vanovimba nemabhiza,+

Vanovimba nengoro dzehondo nekuti izhinji,

Uye nemabhiza ehondo nekuti ane* simba.

Asi havatarisi kuMutsvene waIsraeri,

Uye havatsvagi Jehovha.

 2 Asi iye akachenjerawo uye achaunza dambudziko,

Uye haazochinji zvaataura.

Acharwisa imba yevanoita zvakaipa

Uye vaya vanobatsira vanoita zvisina kururama.+

 3 Zvisinei, vaIjipiti vanhu venyama uye havasi Mwari;

Mabhiza avo ndeenyama kwete mweya.+

Jehovha paachatambanudza ruoko rwake,

Wese anopa rubatsiro achagumburwa

Uye wese anobatsirwa achawa;

Vese vachaparara panguva imwe chete.

 4 Nekuti Jehovha ati kwandiri:

“Sekuhon’a kunoita shumba, shumba ine simba,* ichihon’era mhuka yayabata,

Panoshevedzwa boka rese revafudzi kuti vazoirwisa,

Iyo isingatyi inzwi ravo

Kana kutyiswa nemheremhere yavo,

Saizvozvowo Jehovha wemauto achaburuka

Kuzorwira Gomo reZiyoni nechikomo charo.

 5 Seshiri dziri kuyangarara mudenga, Jehovha wemauto achadzivirirawo Jerusarema.+

Acharidzivirira, oriponesa.

Acharichengetedza, orinunura.”

6 “Dzokerai kuna iye wamakapandukira musina kana nyadzi, haiwa imi vanhu veIsraeri.+ 7 Nekuti zuva iroro mumwe nemumwe acharamba vanamwari vake vesirivha vasina zvavanobatsira navanamwari vake vegoridhe vasina maturo, vakagadzirwa nemaoko enyu muchiita chivi.

 8 MuAsiriya achaurayiwa nebakatwa, kwete remunhu;

Uye achaparadzwa nebakatwa risiri remunhu.+

Achatiza bakatwa,

Uye majaya ake achaitiswa basa rekumanikidzwa.

 9 Dombo rake richaparara nemhaka yekutya kukuru,

Uye machinda ake achabvunda nekutya bango rechiratidzo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

Uyo ane chiedza chiri* muZiyoni uye ane choto chiri muJerusarema.

32 Inzwai! Mambo+ achatonga kuti pave nekururama,+

Uye machinda achatonga zvakarurama.

 2 Mumwe nemumwe achaita senzvimbo yekuhwanda mhepo,

Nzvimbo yekuhwanda mvura* ine dutu,

Sehova dzemvura munyika isina mvura,+

Semumvuri wedombo guru munyika yakaoma.

 3 Ipapo maziso evaya vari kuona haazorambi akavharwa akanamana,

Uye nzeve dzevaya vari kunzwa dzichateerera.

 4 Vaya vane mwoyo inomhanyirira zvinhu vachadzamisa pfungwa kuti vave neruzivo,

Uye rurimi runokakama ruchataura zvakajeka, ruchitsetsenura.+

 5 Benzi harichazonzi rine rupo,

Uye munhu asina tsika haazoshevedzwi kuti mukuru mukuru;

 6 Nekuti benzi richataura zveupenzi,

Uye mwoyo waro ucharonga zvinhu zvakaipa,+

Kuti ripandutse vanhu* uye kuti ritaure zvakatsauka pana Jehovha,

Kuti rishayise munhu* ane nzara zvekudya

Uye kuti rinyime munhu ane nyota chekunwa.

 7 Mazano emunhu asina tsika akaipa;+

Anofurira vanhu kuita zvinhu zvinonyadzisa

Kuti aparadze munhu anotambudzika nenhema,+

Kunyange murombo paanotaura zvakarurama.

 8 Asi munhu ane rupo anoda zvekupa,

Uye anoramba achiratidza rupo.

 9 “Simukai, imi vakadzi vasingatirimuki, muteerere inzwi rangu!

Imi vanasikana vasingakendengi,+ inzwai zvandinotaura!

10 Imi vasingakendengi muchadedera pachapera nguva inongoti pfuurei gore,

Nekuti pachange pasina muchero unenge waunganidzwa kana kukohwa mazambiringa kwapera.+

11 Gwagwadzai, imi vakadzi vasingatirimuki!

Dederai, imi vasingakendengi!

Pfekenurai musare muri mushutu,

Uye sungirai masaga muhudyu dzenyu.+

12 Zvirovei zvipfuva

Muchichemera minda yakanaka nemuzambiringa unobereka.

13 Nekuti nyika yevanhu vangu ichazara neminzwa nemakwenzi ane minzwa;

Zvichazara mudzimba dzese dzemufaro mukuru,

Muguta rekupembera nemufaro.+

14 Nekuti shongwe yakasimba yasiyiwa;

Guta reruzha rasiyiwa.+

Oferi+ nenharire zvangova nyika isina chinhu inongogara yakadaro,

Nyika inofarirwa nemadhongi emusango,

Iwo mafuro ezvipfuwo,+

15 Kusvikira mweya wadururirwa patiri uchibva kumusoro,+

Uye renje rava munda wemichero,

Uye munda wemichero wava kuonekwa sesango.+

16 Kururama kuchabva kwagara murenje,

Uye kururama kuchagara mumunda wemichero.+

17 Kururama kwechokwadi kuchaita kuti pave nerugare,+

Uye kururama kwechokwadi kuchabereka runyararo nekuchengeteka zvinoramba zviripo.+

18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo ine rugare,

Munzvimbo dzekugara dzakachengeteka nemunzvimbo dzekuzororera dzine runyararo.+

19 Asi chimvuramabwe chichaparadza sango,

Uye guta richasara rangoti sandara.

20 Munofara imi munodyara mbeu pedyo nepese pane mvura,

Imi munosairira mombe nedhongi.”+

33 Une nhamo iwe muparadzi asina kumboparadzwa;+

Iwe mutengesi asina kumbotengeswa!

Pauchapedza kuparadza, uchaparadzwa.+

Pauchapedza kutengesa vamwe, uchatengeswa.

 2 Haiwa Jehovha, tinzwirei nyasha.+

Takatarisira kwamuri.

Ivai ruoko rwedu*+ mangwanani ega ega,

Chokwadi ivai ruponeso rwedu munguva yekutambudzika.+

 3 Marudzi anotiza paanonzwa zhowezhowe.

Pamunosimuka, marudzi anopararira.+

 4 Zvinhu zvenyu zvichapambwa zvichiunganidzwa, sekuunganidza kunoita mhashu dzinodya dzisingasiye chinhu;

Vanhu vachamhanyira pazviri semhashu dzakawanda.

 5 Jehovha achakwidziridzwa,

Nekuti anogara kumusoro.

Achaita kuti Ziyoni rizare nekuteerera mutemo uye kururama.

 6 Ndiye anoita kuti unzwe wakagadzikana;*

Ruponeso rukuru,+ uchenjeri hwakadzama, ruzivo rwakawanda, uye kutya Jehovha,+

Ndiyo pfuma yake.

 7 Inzwai! Magamba avo ari kushevedzera ari mumugwagwa;

Nhume dzerugare dziri kuchema chaizvo.

 8 Migwagwa mikuru haichafambwi;

Hapana ari kufamba netunzira tudiki.

Aputsa* sungano;

Aramba maguta;

Haana basa nemunhu.+

 9 Nyika iri kuchema* uye iri kusvava.

Rebhanoni yanyadziswa;+ yaora.

Sharoni yaita segwenga,

Uye Bhashani neKameri zviri kuzunza mashizha azvo.+

10 “Iye zvino ndichasimuka,” anodaro Jehovha,

“Iye zvino ndichazvikwidziridza;+

Iye zvino ndichaita kuti ndikudzwe.

11 Munobata pamuviri peuswa hwakaoma, mobereka mashanga.

Mafungiro enyu achakuparadzai sezvinoita moto.+

12 Marudzi achaita semadota anosara panotsva raimu.

Vachapiswa nemoto seminzwa yakatemwa.+

13 Imi muri kure, inzwai zvandichaita!

Uye imi muri pedyo, bvumai kuti ndine simba!

14 Vatadzi vari muZiyoni vari kutya;+

Vapanduki vari kudedera vachiti:

‘Ndiani wedu angagara pane moto unoparadza?+

Ndiani wedu angagara nemarimi emoto asingadzimiki?’

15 Munhu anoramba achifamba mukururama,+

Uya anotaura zvakarurama,+

Uya anoramba mubereko unobva pakubiridzira uye pakusatendeka,

Uya ane maoko anoramba kutambira chiokomuhomwe pane kuchitora,+

Uya anovhara nzeve yake kuti isanzwa vanotaura nezvekudeura ropa,

Uye anovhara maziso ake kuti asaona zvakaipa,

16 Achagara munzvimbo dzakakwirira;

Nzvimbo yake yekupotera* ichava munhare* dzine matombo,

Achapiwa chingwa,

Uye mvura yake haizomboperi.”+

17 Maziso ako achaona mambo mukubwinya kwake;

Achaona nyika iri kure.

18 Mumwoyo mako uchayeuka* kutyisa kwazvaiita uchiti:

“Munyori ari kupi?

Uya aiyera mutero ari kupi?+

Uya aiverenga shongwe ari kupi?”

19 Hauzooni zvakare vanhu vasina ruremekedzo,

Vanhu vane mutauro wakaoma kunzwisisa,*

Vane rurimi runokakama rwausinganzwisisi.+

20 Tarisa Ziyoni, iro guta remitambo yedu!+

Maziso ako achaona Jerusarema senzvimbo yekugara ine runyararo,

Setende risingazobviswi pariri.+

Hoko dzaro hadzizombodzurwi,

Uye hapana tambo dzaro dzichadamburwa.

21 Asi ikoko, Jehovha, iye Mukuru,

Achava nzvimbo ine nzizi nemigero yakafara kwatiri,

Isingazosvikwi neboka rezvikepe

Uye isina ngarava huru dzichapfuura nepairi.

22 Nekuti Jehovha ndiye Mutongi wedu,+

Jehovha ndiye Anotipa Mutemo,+

Jehovha ndiye Mambo wedu;+

Ndiye achatiponesa.+

23 Tambo dzako dzichange dzisina kukaka;

Hadzikwanisi kutsigira bango refu rengarava rinoenda mudenga kana kutambanudza seiri rengarava.

Panguva iyoyo pachagovanwa zvinhu zvakawanda zvinenge zvapambwa;

Kunyange vakaremara vachatora zvinhu zvizhinji.+

24 Uye hakuna mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.”+

Vanhu vachagara munyika yacho vacharegererwa kukanganisa kwavo.+

34 Swederai pedyo munzwe, imi marudzi,

Uye teererai, imi marudzi.

Nyika nezvese zviri mairi ngazviteerere,

Nyika nezvibereko zvayo zvese.

 2 Nekuti Jehovha akagumbukira marudzi ese,+

Uye hasha dzake dziri pauto rawo rese.+

Achaaparadza;

Achaita kuti aurayiwe.+

 3 Vanhu vawo vakaurayiwa vachakandwa kunze,

Uye kunhuhwa kwezvitunha zvavo kuchakwira;+

Makomo achanyunguduka neropa ravo.+

 4 Uto rese rekudenga richaora,

Uye denga richamonwa segwaro.*

Uto rawo rese richasvava rodonha,

Seshizha rasvava rinodonha kubva pamuzambiringa

Uye seonde raputana rinodonha kubva pamuonde.

 5 “Nekuti bakatwa rangu richaguta kudenga.+

Richaburuka kuzotonga Edhomu,+

Ivo vanhu vandakati ndichavaparadza.

 6 Jehovha ane bakatwa uye richazara neropa.

Richazara nemafuta,+

Neropa remakondohwe madiki nembudzi,

Nemafuta eitsvo dzemakondohwe.

Nekuti Jehovha ane chibayiro kuBhozra,

Mhuka dzakawanda dzichaurayiwa munyika yeEdhomu.+

 7 Nzombe dzemusango dzichadzikawo pamwe chete nadzo,

Nzombe diki pamwe chete nedzine simba.

Nyika yavo ichaguta neropa,

Uye guruva ravo richazara nemafuta.”

 8 Nekuti Jehovha ane zuva rekutsiva,+

Gore rekuranga, achiitira Ziyoni.+

 9 Hova dzayo* dzichachinjwa kuva namo,

Uye guruva rayo kuva sarufa,

Uye ivhu rayo richava senamo iri kubvira.

10 Haizodzimwi usiku kana masikati;

Utsi hwayo hucharamba huchikwira nekusingaperi.

Ichagara yakaparara kwezvizvarwa nezvizvarwa;

Hapana munhu achapfuura nemairi nariini nariini.+

11 Dhadha remuromo murefu nenungu zvichagara imomo,

Uye mazizi ane nzeve refu nemakunguo zvichagara imomo.

Achaiyera netambo kuti aratidze kuti ichasara isina chinhu

Achaiyera netambo inoshandiswa kururamisa mudhuri pakuvaka* kuti aratidze kuti ichava dongo.

12 Hapana vakuru vakuru vayo vachashevedzwa kuti vave paumambo,

Uye machinda ayo ese achasara asisiri chinhu.

13 Minzwa ichamera mushongwe dzayo dzakasimba,

Tumakwenzi tunobaya neutumbambeva* zvichamera munhare* dzayo.

Ichava nzvimbo inogarwa nehunguhwe,*+

Nzvimbo inogara mhou.

14 Mhuka dzemugwenga dzichasangana nemhuka dzinoungudza,

Uye mbudzi yemusango ichashevedza imwe yayo.*

Chokwadi dahwa richagara imomo rowana nzvimbo yekuzororera.

15 Nyoka inoita semuseve ichagadzira musha wayo imomo, yokandira mazai,

Uye ichachochonya, younganidza vana vayo pasi pemumvuri wayo.

Shiri dzinonzi ngavi dzichaungana imomo, imwe neimwe iine sheche yayo.

16 Tsvagai mubhuku raJehovha muriverenge zvinonzwika:

Hapana kana chimwe chete chazvo chichashayikwa;

Hapana chichange chisina hadzi yacho,

Nekuti muromo waJehovha ndiwo wapa murayiro wacho,

Uye mweya wake ndiwo wazviunganidza.

17 Iye ndiye azvikandira mujenya,

Uye ruoko rwake rwazviyerera nzvimbo yazvo yazvinofanira kugara.*

Icharamba iri yazvo;

Zvichagara mairi kwezvizvarwa nezvizvarwa.

35 Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro,+

Renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.+

 2 Chokwadi richatumbuka;+

Richapembera uye richashevedzera nemufaro.

Richapiwa runako rweRebhanoni,+

Kubwinya kweKameri+ nekweSharoni.+

Vachaona kukudzwa kwaJehovha, iko kubwinya kwaMwari wedu.

 3 Simbisai maoko asina simba,

Uye simbisai mabvi ari kudedera.+

 4 Itii kune vaya vanozvidya mwoyo:

“Simbai. Musatya.

Teererai! Mwari wenyu achauya kuzotsiva,

Mwari achauya kuzoranga.+

Achauya okuponesai.”+

 5 Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa,+

Uye nzeve dzematsi dzichavhurwa.+

 6 Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka senondo,+

Uye rurimi rwembeveve ruchashevedzera nemufaro.+

Nekuti mvura ichatubuka murenje,

Uye hova murenje.

 7 Nyika yakaomeswa nekupisa kwekunze ichava dziva rakazara netsanga,

Uye nyika yakaoma ichava nezvitubu zvemvura.+

Nzvimbo yairara hunguhwe*+

Ichava neuswa hwakasvibirira netsanga nenhokwe.

 8 Uye pachava nemugwagwa mukuru,+

Iyo nzira inonzi Nzira yeUtsvene.

Munhu asina kuchena haazofambi nayo.+

Ndeyeuya ari kufamba munzira yacho;

Hapana benzi richarasika richipinda mairi.

 9 Hapana shumba ichava imomo,

Uye hapana zvikara zvinotyisa zvichapinda mairi.

Hazvizowaniki imomo;+

Vaya chete vakadzikinurwa ndivo vachafamba imomo.+

10 Vaya vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ uye vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nemufaro.+

Mufaro usingaperi uchava korona mumisoro yavo.+

Vachafara chaizvo, vachipembera nemufaro,

Uye kusuwa kukuru nekugomera zvichatiza.+

36 Mugore rechi14 raMambo Hezekiya, Saniheribhi mambo weAsiriya+ akauya kuzorwisa maguta ese eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, akaatora.+ 2 Mambo weAsiriya akabva atuma muRabhisheki*+ aine uto guru kubva kuRakishi+ kuti aende kuna Mambo Hezekiya kuJerusarema. Vakanomira pamugero wemvura unobva kudziva rekumusoro,+ riri pamugwagwa mukuru wekumunda wemugezi wenguo.+ 3 Eriyakimu+ mwanakomana waHirikiya, uyo aitungamirira imba yacho,* naShebna+ munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wezvaiitika vakabva vabuda vakaenda kwaaiva.

4 Saka muRabhisheki akati kwavari: “Ndapota, itii kuna Hezekiya, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiriya: “Uri kuvimba nei?+ 5 Uri kuti, ‘Ndine zvandakaronga uye ndine simba rekurwa,’ asi uri kuzvinyepera. Ndiani wauri kuvimba naye, zvekuti uri kushinga kundipandukira?+ 6 Inzwa! Uri kuvimba nerutsigiro rwetsanga iyi yakapwanyika, iyo Ijipiti, inoti kana munhu akazvitsigisa nayo inopinda muchanza chake yochibaya. Ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kune vese vanovimba naye.+ 7 Kana ukati kwandiri, ‘Tinovimba naJehovha Mwari wedu,’ haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira neatari zvakabviswa naHezekiya,+ achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kupfugama pamberi peatari iyi’?”’+ 8 Saka iye zvino ndapota, bhejerana nashe wangu mambo weAsiriya:+ Ndichakupa mabhiza 2 000 kuti ndione kana uchikwanisa kuwana vanhu vanokwana kuatasva. 9 Zvino ungakwanisa sei kukunda kunyange gavhuna mumwe chete, mudiki pavaranda vese vashe wangu, iwe uchivimba neIjipiti kuti uwane ngoro nevatasvi vemabhiza? 10 Ini handina here kubvumirwa naJehovha kuti ndiuye kuzorwisa nyika ino ndoiparadza? Jehovha pachake ndiye akati kwandiri, ‘Enda unorwisa nyika iyi, uiparadze.’”

11 Eriyakimu naShebna+ naJoa vakabva vati kumuRabhisheki:+ “Tapota, taurai henyu nevaranda venyu nemutauro wechiAramaiki,*+ nekuti tinounzwa; musataura nesu nemutauro wevaJudha vanhu vari parusvingo vachinzwa.”+ 12 Asi muRabhisheki akati: “Ishe wangu andituma kuti ndizongotaura mashoko aya kunashe wenyu nekwamuri chete here? Haana kunditumawo here kuvanhu vakagara parusvingo, avo vachadya tsvina yavo nekunwa weti yavo pamwe chete nemi?”

13 MuRabhisheki akabva amira akashevedzera nenzwi guru nemutauro wevaJudha,+ achiti: “Inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiriya.+ 14 Zvanzi namambo, ‘Musarega Hezekiya achikunyengerai, nekuti haakwanisi kukununurai.+ 15 Uye musarega Hezekiya achiita kuti muvimbe naJehovha,+ achiti: “Chokwadi Jehovha achatinunura, uye guta rino harisi kuzoiswa muruoko rwamambo weAsiriya.” 16 Musateerera Hezekiya, nekuti zvanzi namambo weAsiriya: “Yananai neni muzviise mega mumaoko angu, uye mumwe nemumwe achadya michero yemuzambiringa wake neyemuonde wake uye achanwa mvura yemumugodhi wake, 17 kusvikira ndauya ndokuendesai kunyika yakaita senyika yenyu,+ nyika ine zviyo* newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa. 18 Musarega Hezekiya achikufurirai achiti, ‘Jehovha achatinunura.’ Pana mwari wemamwe marudzi akambonunura nyika yake paruoko rwamambo weAsiriya here?+ 19 Vanamwari veHamati neApadhi vari kupi?+ Vanamwari veSefavhaimu vari kupi?+ Vakanunura Samariya paruoko rwangu here?+ 20 Pavanamwari vese vemunyika idzi, ndeupi akanunura nyika yake paruoko rwangu, zvekuti Jehovha anganunura Jerusarema paruoko rwangu?”’”+

21 Asi ivo vakaramba vakanyarara, uye havana kana shoko ravakamupindura, nekuti murayiro wamambo waiti, “Musamupindura.”+ 22 Asi Eriyakimu mwanakomana waHirikiya, uyo aitungamirira imba,* naShebna+ munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wezvaiitika, vakasvika kuna Hezekiya nguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza mashoko emuRabhisheki.

37 Mambo Hezekiya paakangozvinzwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akapinda muimba yaJehovha.+ 2 Akabva atuma Eriyakimu, uyo aitungamirira imba,* naShebna munyori, nevakuru vevapristi kuti vaende kumuprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi vakapfeka masaga. 3 Vakati kwaari: “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi izuva rekutambudzika uye rekutukwa* nekunyadziswa; nekuti nguva yekuzvarwa kwevana yasvika,* asi hapana simba rekusununguka.+ 4 Zvichida Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko emuRabhisheki, uyo akatumwa nashe wake mambo weAsiriya kuti ashore Mwari mupenyu,+ uye achaita kuti azvidavirire nemhaka yemashoko anzwiwa naJehovha Mwari wenyu. Saka nyengetererai+ vaya vakapona.’”+

5 Saka varanda vaMambo Hezekiya vakapinda maiva naIsaya,+ 6 uye Isaya akati kwavari: “Muti kunashe wenyu, ‘Zvanzi naJehovha: “Usatya mashoko awanzwa,+ mashoko ekundimhura ataurwa nevashandi vamambo weAsiriya.+ 7 Pane pfungwa yandiri kuisa mumusoro make,* uye pane shoko raachanzwa odzokera kunyika yake;+ uye ndichaita kuti aurayiwe nebakatwa munyika yake.”’”+

8 Pashure pekunge muRabhisheki anzwa kuti mambo weAsiriya akanga abva kuRakishi, akadzokera kwaari akamuwana achirwa neRibna.+ 9 Zvino mambo wacho akanzwa zvichinzi nezvaMambo Tihaka weItiopiya: “Auya kuzorwa newe.” Paakazvinzwa, akatumazve nhume kuna Hezekiya,+ achiti: 10 “Muti kuna Mambo Hezekiya weJudha, ‘Mwari wako wauri kuvimba naye ngaarege kukunyengera achiti: “Jerusarema harizoiswi muruoko rwamambo weAsiriya.”+ 11 Iwe wakanzwa zvakaitwa nemadzimambo eAsiriya kunyika dzese nekudziparadza kwaakaita.+ Zvino iwe wega ndiwe unganunurwa here? 12 Marudzi akaparadzwa nemadzitateguru angu akanunurwa here navanamwari vawo?+ Iri kupi Gozani, neHarani,+ neRezefi, nevanhu vekuEdheni vaiva muTeri-asari? 13 Ari kupi mambo weHamati, mambo weApadhi, mambo wemaguta eSefavhaimu,+ neweHena, neIvha?’”

14 Hezekiya akatora tsamba dzaiva muruoko rwenhume dzacho akadziverenga. Hezekiya akabva aenda kuimba yaJehovha, akadzibhedhenura* pamberi paJehovha.+ 15 Hezekiya akabva atanga kunyengetera kuna Jehovha,+ akati: 16 “Haiwa Jehovha wemauto,+ Mwari waIsraeri, agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi, imi mega ndimi Mwari wechokwadi paumambo hwese hwenyika. Ndimi makasika denga nenyika. 17 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu munzwe!+ Haiwa Jehovha, svinurai maziso enyu muone!+ Inzwai mashoko ese atumirwa naSaniheribhi kuti ashore Mwari mupenyu.+ 18 Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiriya akaparadza nyika dzese,+ nenyika yawo pachawo. 19 Uye akakanda vanamwari vawo mumoto,+ nekuti vakanga vasiri vanamwari,+ asi zvinhu zvakagadzirwa nemaoko emunhu, danda nedombo. Ndokusaka akakwanisa kuvaparadza. 20 Asi zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti umambo hwese hwepanyika huzive kuti imi mega ndimi Mwari, haiwa Jehovha.”+

21 Isaya mwanakomana waAmozi akabva atumira shoko kuna Hezekiya, achiti: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nekuti wanyengetera kwandiri pamusoro paMambo Saniheribhi weAsiriya,+ 22 izvi ndizvo zvataurwa naJehovha pamusoro pake:

“Mhandara yeZiyoni iri kukuzvidza, uye iri kukunyomba.

Mwanasikana weJerusarema ari kukudzungudzira musoro.

23 Ndiani wawashora+ uye wawamhura?

Ndiani wawakwidzira inzwi+

Uye wawasimudzira maziso ako uchizvikudza?

Wazviita kuMutsvene waIsraeri!+

24 Washora Jehovha+ uchishandisa varanda vako ukati,

‘Nengoro dzangu zhinji dzehondo

Ndichakwira pamusoro pemakomo,+

Idzo nzvimbo dziri kure chaizvo dzeRebhanoni.

Ndichatema misidhari yayo mirefu, mijunipa yayo yakanaka chaizvo.

Ndichapinda munzvimbo dzayo dzakakwirira kupfuura dzese, mumasango ayo azere nemiti.

25 Ndichachera matsime ndonwa mvura;

Ndichaomesa hova dzeIjipiti* netsoka dzangu.’

26 Hauna kuzvinzwa here? Izvi zvakasarudzwa* kare kare.

Ndakazvigadzirira* kare.+

Iye zvino ndichazviita.+

Uchaita kuti maguta akakomberedzwa nemasvingo asare ava mirwi yematongo.+

27 Vagari vemo vachapera simba;

Vachavhundutswa uye vachanyadziswa.

Vachaita sezvinomera musango neuswa hwakasvibirira,

Seuswa hunomera pamatenga edzimba hunenge hwapiswa nemhepo yekumabvazuva.

28 Asi ndinonyatsoziva paunogara pasi, paunobuda nepaunopinda,+

Uye paunonditsamwira,+

29 Nekuti kunditsamwira kwako+ nekudzvova kwako zvasvika munzeve dzangu.+

Saka ndichaisa chirauro changu mumhino dzako nematomu angu+ pakati pemiromo yako,

Uye ndichakudzorera nenzira yawakauya nayo.”

30 “‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri:* Gore rino muchadya zvinomera zvega;* uye mugore rechipiri muchadya zviyo* zvinobukira mamakambokohwa; asi mugore rechitatu muchadyara mbeu mokohwa, uye muchadyara minda yemizambiringa modya michero yayo.+ 31 Vaya vachapukunyuka veimba yaJudha, vaya vachasara,+ vachadzika midzi pasi vobereka michero kumusoro. 32 Nekuti pachava nevachasara vachabuda muJerusarema nevachapukunyuka vachabuda muGomo reZiyoni.+ Jehovha wemauto uyo anoshingaira, achazviita.+

33 “‘Saka zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiriya:+

“Haazopindi muguta rino+

Kana kupfura museve imomo

Kana kurirwisa akabata nhoo

Kana kurikomberedza nemurwi wevhu kuti arirwise.”’+

34 ‘Achadzokera nenzira yaakauya nayo;

Haazopindi muguta rino,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

35 ‘Ndicharwira guta rino+ ndoriponesa ndichiitira zita rangu+

Uye ndichifunga muranda wangu Dhavhidhi.’”+

36 Zvino ngirozi yaJehovha yakaenda ikauraya varume 185 000 mumusasa wevaAsiriya. Vanhu pavakafumomuka mangwanani, vakaona zvitunha zvacho zvese.+ 37 Saka Mambo Saniheribhi weAsiriya akasimuka akadzokera kuNinivhi,+ akagara ikoko.+ 38 Zvino paakanga akapfugama muimba* yamwari wake Nisroki, vanakomana vake Adramereki naSharezeri vakamuuraya nebakatwa+ vakatizira kunyika yeArarati.+ Mwanakomana wake Esari-hadhoni+ akabva ava mambo panzvimbo yake.

38 Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvekuda kufa.+ Muprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi akauya akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Ronga nyaya dzemhuri yako, nekuti uchafa; hausi kuzopora.’”+ 2 Hezekiya akabva atarisa kumadziro, akatanga kunyengetera kuna Jehovha achiti: 3 “Ndinokutetererai, haiwa Jehovha, ndapota yeukai+ kuti ndakafamba pamberi penyu ndakatendeka, nemwoyo wakaperera kwamuri,+ uye kuti ndakaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akabva atanga kuchema chaizvo.

4 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Isaya, richiti: 5 “Dzokera unoti kuna Hezekiya,+ ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako.+ Ndaona misodzi yako.+ Ndichawedzera makore 15 paupenyu hwako,*+ 6 uye ndichakununura iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiriya, uye ndicharwira guta rino.+ 7 Ichi ndicho chiratidzo chinobva kuna Jehovha chekuti Jehovha achaita zvaataura:+ 8 Ndichaita kuti mumvuri waiswa nezuva pamasitepisi* aAhazi udzoke shure nemasitepisi gumi.”’”+ Saka zuva rakadzokera shure nemasitepisi gumi pamasitepisi arakanga ratodzika.

9 Izvi ndizvo zvakanyorwa naHezekiya mambo weJudha, paakarwara akapora paurwere hwake.

10 Ndakati: “Pakati peupenyu hwangu

Ndichafanira kupinda mumagedhi eGuva.*

Ndichanyimwa makore angu asara.”

11 Ndakati: “Handichazooni Jah,* iye Jah, munyika yevapenyu.+

Handichazotarisizve vanhu

Pandinenge ndiine vagari vemunzvimbo inoguma zvinhu zvese.

12 Nzvimbo yangu yekugara yadzurwa uye yabviswa kwandiri+

Setende remufudzi.

Ndapeta upenyu hwangu semunhu anogadzira machira.

Anondigura seshinda dzejira.

Kubva masikati kusvika usiku munoramba muchindiisa kumugumo.+

13 Ndinodzikama kusvika mangwanani.

Anoramba achipwanya mapfupa angu ese sezvinoitwa neshumba;

Kubva masikati kusvika usiku munoramba muchindiisa kumugumo.+

14 Ndinoramba ndichirira senyenganyenga,* kana kuti sekadhimba;*+

Ndinoramba ndichigururudza senjiva.+

Maziso angu anotarisa kumusoro akaneta, ndichiti:+

‘Haiwa Jehovha, ndiri kunetseka chaizvo;

Nditsigirei.’*+

15 Ndingataurei?

Ataura neni uye ane zvaaita.

Makore angu ese ndichafamba ndichizvininipisa*

Nemhaka yekushungurudzika kwangu.*

16 ‘Haiwa Jehovha, munhu wese anorarama nezvinhu izvi,*

Uye mazviri ndimo mune simba rangu reupenyu.

Muchaita kuti ndivezve neutano mondichengetedza ndiri mupenyu.+

17 Onai! Ndakashungurudzika chaizvo panzvimbo pekuva nerugare;

Asi nekuti makandida,*

Makaita kuti ndisapinda mugomba rekuparadzwa.+

Makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu.*+

18 Nekuti Guva harigoni kukukudzai,+

Rufu harugoni kukurumbidzai.+

Vaya vanopinda mugomba havagoni kutarisira kutendeka kwenyu.+

19 Vapenyu, ivo vapenyu vanogona kukurumbidzai,

Sezvandinogonawo kuita nhasi.

Baba vanogona kupa vanakomana vavo ruzivo pamusoro pekutendeka kwenyu.+

20 Haiwa Jehovha, ndiponesei,

Uye ticharidza nziyo dzangu pazviridzwa zvine tambo+

Mazuva ese eupenyu hwedu paimba yaJehovha.’”+

21 Isaya akabva ati: “Unzai keke remaonde akaomeswa, muriise pamota kuti apore.”+ 22 Hezekiya akanga abvunza kuti: “Ndechipi chiratidzo chekuti ndichaenda kuimba yaJehovha?”+

39 Panguva iyoyo mambo weBhabhironi, Merodhaki-bharadhani mwanakomana waBharadhani akatumira tsamba nechipo kuna Hezekiya, nekuti akanga anzwa kuti Hezekiya+ akanga achirwara uye kuti akanga apora.+ 2 Hezekiya akavagamuchira nemufaro,* akavaratidza imba yake yepfuma,+ kureva sirivha, goridhe, mafuta ebharisamu nemamwe mafuta aikosha, zvombo zvake zvese, nezvese zvaiva maichengeterwa pfuma yake. Hapana chavasina kuratidzwa naHezekiya muimba yake* uye munzvimbo yake yese yaaitonga.

3 Pashure paizvozvo muprofita Isaya akapinda maiva naMambo Hezekiya akabvunza kuti: “Varume ava vati chii uye vabva kupi?” Hezekiya akabva ati: “Vabva kunyika iri kure, kuBhabhironi.”+ 4 Akabva ati: “Vaonei mumba* mako?” Hezekiya akapindura kuti: “Vaona zvese zviri mumba* mangu. Hapana chandisina kuvaratidza munochengeterwa pfuma yangu.”

5 Isaya akabva ati kuna Hezekiya: “Inzwa shoko raJehovha wemauto, 6 ‘Mazuva achasvika pachaendeswa kuBhabhironi zvinhu zvese zviri mumba* mako nezvakaunganidzwa nemadzitateguru ako kusvikira nhasi. Hapana chichasara,’+ anodaro Jehovha.+ 7 ‘Uye vamwe vanakomana vako vauchabereka, vachatorwa uye vachava vakuru vemumuzinda wamambo weBhabhironi.’”+

8 Hezekiya akabva ati kuna Isaya: “Shoko raJehovha ramataura rakanaka.” Akatiwo: “Nekuti pachava nerunyararo nekugadzikana* panguva yandinenge ndiri mupenyu.”*+

40 “Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu,” anodaro Mwari wenyu.+

 2 “Taurai zvinobaya mwoyo weJerusarema,*

Uye rizivisei kuti basa raro rekumanikidzwa rapera,

Kuti mhosva yaro yaripwa.+

Rawana zvakanyatsoenzana nezvivi* zvaro zvese kubva muruoko rwaJehovha.”+

 3 Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti:

“Vhurai* nzira yaJehovha!+

Gadzirirai Mwari wedu mugwagwa mukuru wakati twasu unopfuura nemugwenga.+

 4 Mapani ese ngaakwidziridzwe,

Uye makomo ese nezvikomo zvese ngazvideredzwe.

Nyika isina kuenzana inofanira kuti sandara,

Uye nzvimbo isina kuenzana ngaive bani.+

 5 Kukudzwa kwaJehovha kucharatidzwa,+

Uye vanhu vese vachazviona pamwe chete,+

Nekuti muromo waJehovha wataura.”

 6 Teerera! Pane munhu ari kuti: “Shevedzera!”

Mumwe ari kubvunza kuti: “Ndoshevedzera kuti chii?”

“Vanhu vese uswa hwakasvibirira.

Kuvimbika kwavo kwese kwakaita* seruva remusango.+

 7 Uswa hwakasvibirira hunooma,

Ruva rinooma,+

Nekuti mweya wekufema* waJehovha unozvifuridza.+

Chokwadi vanhu vanongovawo uswa hwakasvibirira.

 8 Uswa hwakasvibirira hunooma,

Ruva rinooma,

Asi shoko raMwari wedu rinogara nekusingaperi.”+

 9 Kwira mugomo refu,

Iwe mukadzi ari kuunzira Ziyoni mashoko akanaka.+

Shevedzera nesimba,

Iwe mukadzi ari kuunzira Jerusarema mashoko akanaka.

Shevedzera, usatya.

Zivisa maguta eJudha kuti: “Hoyu Mwari wenyu.”+

10 Inzwai! Changamire Ishe Jehovha achauya nesimba,

Uye ruoko rwake ruchamutongera.+

Inzwai! Mubayiro wake anawo,

Uye mubhadharo waanopa uri pamberi pake.+

11 Achachengeta* makwai ake sezvinoita mufudzi.+

Achaunganidza makwayana neruoko rwake,

Uye achaatakura pachipfuva chake.

Achatungamirira zvinyoronyoro aya anoyamwisa.+

12 Ndiani akayera mvura muchanza cheruoko rwake,+

Uye akayera denga nesipani yeruoko rwake?*

Ndiani akaisa guruva renyika muchiyero+

Kana kuti akayera makomo nechekuyeresa

Uye akayera zvikomo pachikero?

13 Ndiani akayera* mweya waJehovha,

Uye ndiani angava chipangamazano wake anomurayiridza?+

14 Ndiani waakabvunza kuti anzwisise,

Kana kuti ndiani anomudzidzisa munzira yekururama,

Kana kuti anomudzidzisa kuti awane ruzivo,

Kana kumuratidza nzira yekunzwisisa kwechokwadi?+

15 Inzwai! Marudzi akaita sedonhwe remvura riri kubva mumugomo,

Uye anoonekwa setuguruva tushomanana turi pachikero.+

Onai! Iye anosimudza zvitsuwa seguruva rakatsetseka.

16 Kunyange Rebhanoni haikwani kuti moto urambe uchibvira,*

Uye mhuka dzayo dzemusango hadzikwani kupa chibayiro chinopiswa.

17 Marudzi ese akaita sechinhu chisipo pamberi pake;+

Anoaona sepasina, kunge asipo.+

18 Mungaenzanisa Mwari naani?+

Chii chamungamufananidza nacho?+

19 Mhizha inogadzira mufananidzo,*

Mupfuri wesimbi anounama wese negoridhe,+

Uye anogadzira cheni dzesirivha.

20 Anosarudza muti kuti uve mupiro wake,+

Muti usingazoori.

Anotsvaga mhizha ine unyanzvi

Kuti igadzire mufananidzo wakavezwa usingazodonhi.+

21 Hamuzivi here?

Hamuna kunzwa here?

Hamuna kuzviudzwa kubvira pakutanga here?

Hamuna kunzwisisa kubva pauchapupu huripo kubvira pakaiswa nheyo dzenyika here?+

22 Kune anogara pamusoro pedenderedzwa renyika,*+

Uye vanogara mariri vakaita sehwiza.

Ari kutatamura denga semucheka mutetetete,

Uye anoritambanudza setende rekugara.+

23 Anoita kuti makurukota asava chinhu

Uye anoita kuti vatongi venyika* vaite kunge vasipo.

24 Vachingobva kusimwa,

Vachingobva kudyarwa,

Hunde yavo painenge ichangotanga kudzika midzi muvhu,

Vanofuridzwa nemhepo vooma,

Uye mhepo inovapeperetsa semashanga.+

25 “Mungandifananidza naani kuti ndinzi ndakaenzana naye?” anodaro iye Mutsvene.

26 “Simudzai maziso enyu mutarise kudenga.

Ndiani akasika zvinhu izvi?+

Ndiye uya anobudisa uto razvo muuwandu hwazvo;

Anozvishevedza zvese nemazita azvo.+

Nekuda kwesimba rake guru kwazvo uye simba rake rinoshamisa,+

Hapana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.

27 Unotaurireiko, haiwa iwe Jakobho, uye unotaurireiko, haiwa iwe Israeri kuti,

‘Nzira yangu yakavanzika kuna Jehovha,

Uye Mwari haaoni zvisina kururama zvandinoitirwa’?+

28 Hauzivi here? Hauna kunzwa here?

Jehovha, Musiki wemigumo yenyika, ndiMwari nekusingaperi.+

Haaneti kana kupera simba.+

Kunzwisisa kwake hakugoni kuongororwa.*+

29 Anopa munhu akaneta simba

Uye simba rizere kune vaya vasina simba.+

30 Vakomana vachaneta uye vachapera simba,

Uye majaya achagumburwa odonha,

31 Asi vaya vanotarisira kuna Jehovha vachawanazve simba.

Vachabhururuka nemapapiro vachienda mudenga semakondo.+

Vachamhanya vasingaperi simba;

Vachafamba vasinganeti.”+

41 “Nditeererei makanyarara,* imi zvitsuwa;

Marudzi ngaawanezve simba rawo.

Ngaaswedere pedyo; uye ngaataure.+

Ngatiunganei kuzotongwa.

 2 Ndiani aita kuti pave nemumwe munhu anobva kumabvazuva?+

Achimushevedza mukururama kuti auye patsoka dzake,*

Kuti aise marudzi mumaoko ake

Uye kuti amuite kuti akunde madzimambo?+

Ndiani anoaita kuti asare ava guruva pamberi pebakatwa rake,

Semashanga ari kupeperetswa nemhepo, pamberi peuta hwake?

 3 Anoatevera achipfuura pasina chinomuvhiringidza,

Achifamba nemumakwara asina kumbofambwa netsoka dzake.

 4 Ndiani abata basa iri, achiita izvi,

Achishevedza zvizvarwa kubvira pakutanga?

Ini Jehovha, ndini Wekutanga;+

Uye kuzvizvarwa zvekupedzisira ndinongova iye mumwe chete.”+

 5 Zvitsuwa zvakazviona zvikatya.

Migumo yenyika yakatanga kudedera.

Inoswedera pedyo youya pamberi.

 6 Mumwe nemumwe anobatsira shamwari yake,

Oti kuhama yake: “Simba.”

 7 Saka mhizha inosimbisa mupfuri wesimbi;+

Munhu anorova nesando achiita kuti zvienzane

Anosimbisa uya anopfura achishandisa pekupfurira.

Anoti nezvekubatanidza simbi: “Dzaitwa zvakanaka.”

Mufananidzo wacho unobva wabatanidzwa nezvipikiri kuti urege kudonha.

 8 “Asi iwe, haiwa Israeri, uri mushumiri wangu,+

Iwe Jakobho wandakasarudza,+

Vana* veshamwari yangu Abrahamu,+

 9 Iwe wandakatora kumigumo yenyika,+

Uye iwe wandakashevedza kubva kumativi ayo ari kure chaizvo.

Ndakati kwauri, ‘Uri mushumiri wangu;+

Ndakusarudza; handina kukuramba.+

10 Usatya, nekuti ndinewe.+

Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako.+

Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira,+

Chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.’

11 Inzwa! Vaya vese vari kukutsamwira chaizvo vachanyadziswa voninipiswa.+

Vaya vanorwa newe vachasara vasiri chinhu uye vachaparara.+

12 Uchatsvaga varume vari kurwa newe, asi hauzovawani;

Varume vari kukurwisa vachaita sevasipo, sechinhu chisingabatsiri.+

13 Nekuti ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi,

Uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’+

14 Usatya Jakobho, iwe honye,*+

Imi varume veIsraeri, ini ndichakubatsirai,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, iye Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri.

15 “Inzwa! Ndakuita chirei chekupurisa,+

Mudziyo wekupurisa mutsva une mazino anocheka nekwese.

Uchatsika-tsika makomo woaputsa

Woita kuti zvikomo zviite sehundi.

16 Uchazviurutsa,

Uye mhepo ichazvitakura;

Dutu richazviparadzira.

Uchafara muna Jehovha,+

Uye uchazvirumbidza pamusoro peMutsvene waIsraeri.”+

17 “Varombo nevanoshayiwa vari kutsvaga mvura, asi vari kuishaya.

Rurimi rwavo rwakaoma nenyota.+

Ini Jehovha ndichavapindura.+

Ini Mwari waIsraeri, handizovasiyi.+

18 Ndichaita kuti nzizi dziyerere muzvikomo zvisina chinhu+

Nezvitubu mumapani.+

Ndichaita kuti renje rive dziva remvura rine tsanga zhinji

Uye kuti nyika isina mvura ive zvitubu zvemvura.+

19 Mugwenga ndichadyara musidhari,

Mubayamhondoro nemukute nemuti wemupaini.+

Murenje ndichadyara mujunipa,

Pamwe chete nemufiri nemusaipresi,+

20 Kuti vanhu vese vaone uye vazive,

Vateerere uye vanzwisise,

Kuti ruoko rwaJehovha rwaita izvi,

Uye kuti iye Mutsvene waIsraeri azviunza.”+

21 “Taurai nyaya yenyu,” anodaro Jehovha.

“Ipai uchapupu hwenyu,” anodaro Mambo waJakobho.

22 “Ipai uchapupu uye tiudzei zvinhu zvichaitika.

Tiudzei zvinhu zvekare,*

Kuti tifunge nezvazvo,* toziva kuti zvichaguma nei.

Kana kuti tizivisei zvinhu zviri kuuya.+

23 Tiudzei zvichaitika mune ramangwana,

Kuti tizive kuti muri vanamwari.+

Itai chimwe chinhu, chakanaka kana kuti chakaipa,

Kuti tishamiswe patinochiona.+

24 Inzwai! Muri chinhu chisipo,

Uye zvamakaita hazvibatsiri.+

Chero anokusarudzai anosemesa.+

25 Ndaita kuti pave neanobva kuchamhembe, uye achauya,+

Iye anobva kumabvazuva,+ uyo achadana zita rangu.

Achatsika-tsika vatongi* sekunge kuti ivhu,+

Semuumbi anotsika-tsika ivhu nyoro.

26 Ndiani akataura pamusoro peizvi kubvira pakutanga, kuti tizive,

Kana kuti kubvira panguva yakapfuura, kuti titi, ‘Iye akarurama’?+

Chokwadi hapana akazvizivisa!

Hapana akazvitaura!

Hapana ane chaakanzwa kwamuri!”+

27 Ndini ndakatanga kuti kuZiyoni: “Tarisai muone! Hezvino zvichaitika!”+

Uye ndichatumira munhu anoenda nemashoko akanaka kuJerusarema.+

28 Asi ndakaramba ndakatarisa, uye pakanga pasina munhu;

Pakati pavo pakanga pasina anopa mazano.

Uye ndakaramba ndichivaudza kuti vapindure.

29 Onai! Vese chinhu chisipo.

Mabasa avo haabatsiri.

Mifananidzo yavo yesimbi* imhepo uye haisi yechokwadi.+

42 Onai! Mushumiri wangu+ wandinotsigira!

Iye wandakasarudza,+ wandakafarira!*+

Ndaisa mweya wangu maari;+

Achatonga marudzi zvakarurama.+

 2 Haazoshevedzeri kana kudanidzira,

Uye haazoiti kuti inzwi rake rinzwike mumugwagwa.+

 3 Hapana tsanga yakapwanyika yaachatyora,

Uye hapana tambo inopfungaira yaachadzima.+

Achaunza kururama mukutendeka.+

 4 Chiedza chake hachizoendi chichipera uyewo haazopwanyiwi kusvikira aita kuti panyika pave nekururama;+

Uye zvitsuwa zvinoramba zvichimirira mutemo* wake.

 5 Zvanzi naMwari wechokwadi, Jehovha,

Musiki wedenga, iye Mukuru akaritatamura,+

Iye akatambanudza nyika nezvibereko zvayo,+

Iye anopa vanhu vari pairi mweya wekufema+

Nemweya* kune vaya vanofamba mairi:+

 6 “Ini Jehovha, ndakakushevedza mukururama;

Ndakakubata ruoko.

Ndichakuchengetedza ndoita kuti uve sungano ndichiitira vanhu,+

Uye chiedza chemarudzi,+

 7 Kuti usvinudze maziso akapofumara,+

Kuti ubudise musungwa mujeri repasi,

Uye ubudise mujeri vaya vagere murima.+

 8 Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu;

Hapana wandinopa kukudzwa kwangu,*

Uye handipi kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.+

 9 Onai, zvinhu zvekutanga zvaitika;

Iye zvino ndava kuzivisa zvinhu zvitsva.

Ndinokuudzai nezvazvo zvisati zvatanga kuvapo.”+

10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,+

Iko kurumbidzwa kwake muri kumigumo yenyika,+

Imi munodzika kugungwa nezvese zviri mariri,

Imi zvitsuwa nevagari vazvo.+

11 Renje nemaguta aro ngazvishevedzere,+

Misha inogarwa naKedhari.+

Vagari vekune matombo ngavashevedzere nemufaro;

Ngavashevedzere vari pamusoro pemakomo.

12 Ngavakudze Jehovha

Uye ngavazivise kurumbidzwa kwake muzvitsuwa.+

13 Jehovha achabuda semurume ane simba.+

Achatanga kushingaira semurwi ane simba.+

Achashevedzera, chokwadi achashevedzera zvinotyisa pahondo;

Acharatidza kuti ane simba kupfuura vavengi vake.+

14 “Ndava nenguva refu ndakanyarara.

Ndakaramba ndakanyarara ndichizvidzora.

Semukadzi ari kusununguka,

Ndichagomera, ndichafemera pamusoro uye ndichafemereka, zvese ndichizviita pamwe chete.

15 Ndichaparadza makomo nezvikomo,

Ndoomesa zvinomera zvazvo zvese.

Ndichaita kuti nzizi dzive zvitsuwa*

Ndoomesa madziva emvura ane tsanga zhinji.+

16 Ndichafambisa mapofu munzira yaasingazivi+

Ndoita kuti afambe mumakwara aasingazivi.+

Ndichaita kuti rima riri pamberi pawo rive chiedza+

Ndoita kuti nzvimbo isina kuenzana ive nyika yakati sandara.+

Izvi ndizvo zvandichaaitira, uye handizoasiyi.”

17 Vaya vanovimba nemifananidzo yakavezwa,

Vaya vanoti kumifananidzo yakavezwa:* “Ndimi vanamwari vedu,”+

Vachadzoswa, uye vachanyadziswa kwazvo.

18 Inzwai, imi matsi;

Tarisai muone, imi mapofu.+

19 Ndiani bofu kunze kwemushumiri wangu,

Ndiani matsi yakafanana nenhume yangu yandinotuma?

Ndiani ane upofu hunosvika pane hweuya anopiwa mubayiro,

Ane upofu hunosvika pane hwemushumiri waJehovha?+

20 Unoona zvinhu zvizhinji, asi haurambi wakarinda.

Unovhura nzeve dzako, asi hauteereri.+

21 Jehovha akafarira kukudza mutemo* uye kuuita kuti uve mukuru,

Achiitira kururama kwake.

22 Asi ivo vakapambwa uye vakatorwa nechisimba;+

Vese vakavharirwa mumakomba uye vakavanzwa mumajeri.+

Vakapambwa pasina anovanunura,+

Uye vakatorwa nechisimba pasina anoti: “Vadzosei!”

23 Ndiani achanzwa izvi pakati penyu?

Ndiani achateerera uye achanzwa kuitira mangwana?

24 Ndiani akaita kuti Jakobho atorwe nechisimba

Uye kuti Israeri atorwe nevapambi?

Haasi Jehovha here, iye watakatadzira?

Vakaramba kufamba munzira dzake,

Uye havana kuda kuteerera mutemo* wake.+

25 Saka akaramba achidururira kutsamwa kwake paari,

Kushatirwa kwake, nehasha dzehondo.+

Zvakaparadza zvinhu zvese zvakanga zvakamupoteredza, asi haana kucherechedza.+

Zvakamupisa, asi haana kuva nehanya nazvo.+

43 Zvanzi naJehovha,

Musiki wako, haiwa iwe Jakobho, iye akakuumba, haiwa iwe Israeri:+

“Usatya, nekuti ndakakudzikinura.+

Ndakakushevedza nezita rako.

Uri wangu.

 2 Paunopfuura nemumvura, ndichava newe,+

Uye paunopfuura nemunzizi, hadzizokuyeredzi.+

Paunofamba nemumoto, hauzopiswi,

Uye rimi remoto harizokubvuraudzi.

 3 Nekuti ndini Jehovha Mwari wako,

Iye Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako.

Ndakapa Ijipiti kuti ive rudzikinuro rwako,

Itiopiya neSebha panzvimbo pako.

 4 Nekuti wakava anokosha kwandiri,+

Waikudzwa, uye ndakakuda.+

Saka ndichapa vanhu panzvimbo pako

Uye marudzi panzvimbo peupenyu hwako.*

 5 Usatya, nekuti ndinewe.+

Ndichaunza vana* vako kubva kumabvazuva

Uye ndichakuunganidza kubva kumavirira.+

 6 Ndichati kuchamhembe, ‘Varegedze!’+

Uye kumaodzanyemba, ‘Usavadzivisa.

Uyai nevanakomana vangu kubva kure, uye vanasikana vangu kubva kumigumo yenyika,+

 7 Iye munhu wese anoshevedzwa nezita rangu+

Uye wandakasikira kukudzwa kwangu,

Wandakaumba uye wandakaita.’+

 8 Budisai rudzi rune maziso asi ruri mapofu,

Uye rune nzeve asi ruri matsi.+

 9 Vanhu vese ngavaungane panzvimbo imwe chete,

Uye marudzi ngaaungane.+

Ndiani pakati pawo angataura izvi?

Kana kuti iwo angaita kuti tinzwe zvinhu zvekutanga* here?+

Ngaaunze zvapupu zvawo kuti aratidze kuti akarurama,

Kana kuti ngaanzwe ati, ‘Ndicho chokwadi!’”+

10 “Imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Mushumiri wangu wandakasarudza,+

Kuti muzive uye mutende mandiri,*

Monzwisisa kuti ndini iye mumwe chete.+

Hapana mumwe Mwari akanditangira,

Uye hapana mumwe akazotevera.+

11 Ini ndini Jehovha,+ uye hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.”+

12 “Ndini ndakazivisa, ndakaponesa uye ndakaita kuti zvizivikanwe

Pakwakanga kusina mwari wekumwe pakati penyu.+

Saka muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye ini ndini Mwari.+

13 Uyewo, ndinongoramba ndiri iye mumwe chete;+

Uye hapana anogona kubvuta chinhu muruoko rwangu.+

Pandinoita chimwe chinhu, ndiani angachitadzisa kuitika?”+

14 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri:+

“Ndichatuma vanhu kuBhabhironi ndichiitira imi, ndowisira pasi mazariro* ese emagedhi,+

Uye vaKadheya vachashevedzera vachishungurudzika vari mungarava dzavo.+

15 Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu,+ Musiki waIsraeri,+ Mambo wenyu.”+

16 Zvanzi naJehovha,

Iye ari kugadzira nzira mugungwa

Kunyange gwara mumvura isina kugadzikana,+

17 Iye anobudisa ngoro yehondo nebhiza,+

Uto pamwe chete nevarwi vane simba:

“Vacharara pasi uye havazomuki.+

Vachadzimwa; vachadzimwa vachiita zvekudimburwa setambo iri kubvira.”

18 “Musayeuka zvinhu zvekare,

Uye musaramba muchifunga zvinhu zvakapfuura.

19 Onai! Ndiri kuita chinhu chitsva;+

Kunyange iye zvino chatovapo.

Hamusi kuchiona here?

Ndichagadzira nzira inopfuura nemurenje+

Uye nzizi dzinopfuura nemugwenga.+

20 Mhuka yemusango ichandikudza,

Hunguhwe* nemhou,

Nekuti ndinoita kuti murenje muve nemvura,

Mugwenga muve nenzizi,+

Kuti vanhu vangu vandakasarudza+ vanwe,

21 Ivo vanhu vandakazviumbira

Kuti vazivise kurumbidzwa kwangu.+

22 Asi hauna kudana kwandiri, haiwa iwe Jakobho,+

Nekuti wakaneta neni, haiwa iwe Israeri.+

23 Hauna kundiunzira makwai ezvibayiro zvako zvinopiswa

Kana kundikudza nezvibayiro zvako.

Handina kukumanikidza kuti undiunzire chipo,

Uye handina kukunetesa nekukuudza kuti undipe zvinonhuhwirira zvichena.+

24 Hauna kunditengera tsanga dzinonhuhwirira nemari yako,

Uye hauna kundigutsa nemafuta ezvibayiro zvako.+

Asi wakatondiremedza nezvivi zvako,

Ukandinetesa nekukanganisa kwako.+

25 Ini ndini iye ari kudzima kudarika kwako*+ ndichiitira zita rangu,+

Uye handizoyeuki zvivi zvako.+

26 Ndiyeuchidze; ngatipinzei nyaya yedu mudare;

Taura divi rako panyaya yacho kuti uratidze kuti wakarurama.

27 Tateguru vako vekutanga vakatadza,

Uye vatauriri* vako vakandipandukira.+

28 Saka ndichasvibisa machinda enzvimbo tsvene,

Uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe

Uye ndichaita kuti Israeri atukwe.+

44 “Teerera, haiwa iwe Jakobho mushumiri wangu,

Newe, haiwa iwe Israeri, wandakasarudza.+

 2 Zvanzi naJehovha,

Muiti wako, iye akakuumba,+

Akakubatsira kubvira uchiri mudumbu:*

‘Usatya, iwe mushumiri wangu Jakobho,+

Newe Jeshuruni,*+ wandakasarudza.

 3 Nekuti ndichadururira mvura pamunhu ane nyota*+

Uye hova dzinoyerera panyika yakaoma.

Ndichadururira mweya wangu pavana* vako,+

Uye chikomborero changu pavazukuru vako.

 4 Ivo vachamera sekunge vari pakati peuswa hwakasvibirira,+

Semiti yemishambangwena iri pedyo nehova dzemvura.

 5 Mumwe achati: “Ndiri waJehovha.”+

Mumwe achazvishevedza nezita raJakobho,

Uye mumwewo achanyora paruoko rwake kuti: “Ndiri waJehovha.”

Uye achazviti Israeri.’

 6 Zvanzi naJehovha,

Mambo waIsraeri+ uye Mudzikinuri wake,+ Jehovha wemauto:

‘Ndini wekutanga uye ndini wekupedzisira.+

Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu.+

 7 Ndiani aripo akaita seni?+

Ngaashevedzere, azvitaure uye aratidze uchapupu hwacho kwandiri!+

Sezvandakaita kubvira panguva yandakaita kuti pave nevanhu vekare kare,

Ngavataure zvinhu zvichauya

Nezvinhu zvichaitika.

 8 Musatya,

Uye musapera simba nekutya.+

Handina kugara ndaudza mumwe nemumwe wenyu uye ndazvizivisa here?

Imi muri zvapupu zvangu.+

Kune mumwe Mwari kunze kwangu here?

Aiwa, hakuna rimwe Dombo;+ hakuna rimwe randinoziva.’”

 9 Vese vanogadzira mifananidzo yakavezwa havasi chinhu,

Uye zvinhu zvavo zvavanoda hazvizobatsiri.+

Sezvapupu zvavo, haina* zvainoona uye haina chainoziva,+

Saka vaya vakaigadzira vachanyadziswa.+

10 Ndiani angaumba mwari kana kugadzira mufananidzo wesimbi*

Usina zvaunobatsira?+

11 Inzwa! Shamwari dzake dzese dzichanyadziswa!+

Mhizha dzacho vanhuwo.

Vese zvavo ngavaungane vamire munzvimbo dzavo.

Vachatya chaizvo uye vachanyadziswa pamwe chete.

12 Mupfuri wesimbi anopfura simbi pamazimbe emoto achishandisa mudziyo wake.

Anoipfura nesando,

Achiipfura neruoko rwake rune simba.+

Anobva atanga kunzwa nzara uye simba rake rinopera;

Haana mvura yaanonwa uye anoneta.

13 Muvezi wedanda anotambanudza tambo yekuyeresa, achiritara nechoko tsvuku.

Anoriveza nembezo oritara nemudziyo wekuyeresa.

Anorigadzira rakafanana nemunhu,+

Nerunako rwemunhu,

Kuti rigare mumba.*+

14 Pane anoita basa rekutema misidhari.

Ane muti waanosarudza, muti wemuoku,

Uye anoita kuti ukure uye usimbe pakati pemiti yemusango.+

Anodyara muti unonzi muraureri, uye mvura inonaya inoita kuti ukure.

15 Unobva wava huni dzekuti munhu abatidze moto.

Anotora dzimwe huni dzawo kuti adziye;

Anobatidza moto obika chingwa.

Asi anogadzirawo mwari omunamata.

Anougadzira kuti uve mufananidzo wakavezwa, uye anoukotamira.+

16 Anopisa hafu yawo mumoto;

Uye nehafu iyoyo anogocha nyama yaanodya uye anoguta.

Anodziyawo moto uye anoti:

“Hekani! Ndiri kudziyirwa nemoto uyu wandakatarisa.”

17 Asi unenge wasara anougadzira kuti uve mwari, mufananidzo wake wakavezwa.

Anoukotamira ounamata.

Anonyengetera kwauri, oti:

“Ndiponesei nekuti ndimi mwari wangu.”+

18 Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa,+

Nekuti maziso avo akanamwa uye havaoni,

Uye mwoyo yavo haina njere.

19 Hapana anofunga mumwoyo make

Kana kuti anoziva kana anonzwisisa, anoti:

“Ndapisa hafu yawo mumoto,

Uye ndabikawo chingwa ndikagocha nyama pamazimbe awo kuti ndidye.

Saka ndingagadzira chinhuwo zvacho chinosemesa newasara here?+

Ndinganamata danda remuti* here?”

20 Anodya dota.

Mwoyo wake uyo wakanyengedzwa, wamutsausa.

Haagoni kuzviponesa,* uyewo haatauri kuti:

“Muruoko rwangu rwerudyi hamuna nhema here?”

21 “Yeuka zvinhu izvi, haiwa iwe Jakobho, newe Israeri,

Nekuti uri mushumiri wangu.

Ndakakuumba, uye uri mushumiri wangu.+

Haiwa Israeri, handizokukanganwi.+

22 Ndichavhara kudarika kwako sekunge negore+

Nezvivi zvako sekunge negore dema.

Dzoka kwandiri, nekuti ndichakudzikinura.+

23 Pemberai nemufaro imi matenga,

Nekuti Jehovha azviita!

Shevedzerai muchifara, imi nzvimbo dzakadzikira dzenyika!

Shevedzerai nemufaro, imi makomo,+

Iwe sango nemiti yako yese!

Nekuti Jehovha adzikinura Jakobho,

Uye anoratidza runako rwake pana Israeri.”+

24 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako,+

Uyo akakuumba kubva uchiri mudumbu:

“Ndini Jehovha, akagadzira zvinhu zvese.

Ndakatatamura denga ndega,+

Uye ndakawaridza nyika.+

Ndiani aiva neni?

25 Ndiri kuita kuti zviratidzo zvevanotaura zvisina zvazvinobatsira* zvirege kubudirira,

Uye ndini ndinoita kuti vanofembera vaite semapenzi;+

Ndini ndinoita kuti varume vakachenjera vavhiringidzike

Uye ndinochinja ruzivo rwavo rwova upenzi;+

26 Iye ari kuita kuti shoko remushumiri wake riitike,

Uye ari kunyatsozadzisa zvakataurwa nenhume dzake;+

Iye ari kuti nezveJerusarema, ‘Richagarwa,’+

Uye nezvemaguta eJudha, ‘Achavakwazve,+

Uye ndichavakazve matongo aro’;+

27 Iye ari kuti kumvura yakadzika, ‘Ipwa,

Uye ndichaomesa nzizi dzako dzese’;+

28 Iye ari kuti nezvaKoreshi,+ ‘Ndiye mufudzi wangu,

Uye achanyatsoita zvese zvandinofarira’;+

Iye ari kuti nezveJerusarema, ‘Richavakwazve,’

Uye nezvetemberi, ‘Faundesheni yako ichavakwa.’”+

45 Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Koreshi,+

Wandakabata ruoko rwerudyi,+

Kuti ndikunde marudzi pamberi pake,+

Kuti ndiite kuti madzimambo asare asina zvombo,*

Kuti ndimuvhurire masuo ane madhoo maviri,

Kuitira kuti magedhi arege kuvharwa:

 2 “Ini ndichakutungamirira,+

Uye ndichaita kuti zvikomo zviti sandara.

Ndichatyora-tyora masuo emhangura,

Uye ndichagura mazariro* esimbi.+

 3 Ndichakupa pfuma iri murima

Nepfuma yakavanzwa iri munzvimbo dzakavandika,+

Kuti uzive kuti ndini Jehovha,

Mwari waIsraeri, uyo ari kukushevedza nezita rako.+

 4 Ndiri kukushevedza nezita rako

Nekuda kwemushumiri wangu Jakobho uye nekuda kwaIsraeri wandakasarudza.

Ndiri kukutumidza zita rinokudzwa, kunyange zvazvo wakanga usingandizivi.

 5 Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.

Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu.+

Ndichakusimbisa,* kunyange zvazvo wakanga usingandizivi,

 6 Kuti vanhu vazive

Kubva kumabvazuva kusvika kumavirira

Kuti hakuna mumwe kunze kwangu.+

Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.+

 7 Ndinogadzira chiedza+ uye ndinosika rima,+

Ndinoita kuti pave nerugare+ uye ndinounza dambudziko;+

Ini, Jehovha, ndiri kuita zvinhu zvese izvi.

 8 Iwe denga, nayisa mvura kubva kumusoro;+

Ita kuti makore anayise kururama.

Nyika ngaivhurike, ibereke ruponeso,

Uye ngaimeresewo kururama panguva imwe chete.+

Ini, Jehovha, ndakazvisika.”

 9 Ane nhamo uya anorwa* neMuiti wake,*

Nekuti anongova chaenga*

Pakati pezvimwe zvaenga zvemudziyo wevhu zviri pasi!

Ivhu ringati here kuMuumbi* waro: “Uri kuumbei?”+

Kana kuti basa rako ringati here: “Haana maoko”?*

10 Ane nhamo anoti kuna baba: “Munoberekei?”

Uye kumukadzi: “Muri kusunungukei?”*

11 Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsraeri,+ iye akamuumba:

“Ungandibvunza pamusoro pezvinhu zvichauya here

Wondipa mirayiro pamusoro pevanakomana vangu+ uye pamusoro pemabasa andakaita nemaoko angu here?

12 Ndakasika nyika+ uye ndakasika munhu pairi.+

Ndakatatamura denga nemaoko angu,+

Uye ndinopa uto raro rese mirayiro.”+

13 “Pane murume wandakaita kuti avepo mukururama,+

Uye ndichaita kuti nzira dzake dzese dziti twasu.

Ndiye achavaka guta rangu+

Osunungura vanhu vangu vakatapwa,+ pasina mubhadharo kana chiokomuhomwe,”+ anodaro Jehovha wemauto.

14 Zvanzi naJehovha:

“Mubereko weIjipiti* nezvinotengeswa nevaItiopiya* nevaSebhiya, ivo vanhu varefu,

Zvichauya kwauri zvova zvako.

Vachafamba vari shure kwako vakasungwa necheni.

Vachauya vokotama pamberi pako.+

Vachataura kwauri vachikuremekedza chaizvo vachiti, ‘Chokwadi Mwari anewe,+

Uye hakuna mumwe; hakuna mumwe Mwari.’”

15 Chokwadi imi muri Mwari anozvivanza,

Haiwa Mwari waIsraeri, Muponesi.+

16 Vese vachanyadziswa uye vachadzikisirwa pasi;

Vagadziri vezvidhori vese vachaenda vachinyara.+

17 Asi Israeri achaponeswa naJehovha neruponeso rusingaperi.+

Imi hamuzonyadziswi kana kuzvidzwa nariini nariini.+

18 Nekuti zvanzi naJehovha,

Musiki wedenga,+ Mwari wechokwadi,

Muumbi wenyika, Muiti wayo, iye akaisimbisa kwazvo,+

Asina kungoisikira pasina,* asi akaiumba kuti igarwe:+

“Ndini Jehovha, hakuna mumwe.

19 Handina kutaura ndiri munzvimbo yakavandika,+ munyika yerima;

Handina kutaura nevana* vaJakobho kuti,

‘Nditsvagei pasina.’*

Ndini Jehovha, anotaura zvakarurama, uye anozivisa zvakarurama.+

20 Unganai muuye.

Uyai pamwe chete, imi makapukunyuka kubva kumarudzi.+

Vaya vanofamba vakatakura mifananidzo yakavezwa havana chavanoziva

Uye vanonyengetera kuna mwari asingagoni kuvaponesa.+

21 Taurai mashoko enyu nenyaya yenyu.

Ngavarangane vakabatana.

Ndiani akagara ataura izvi kare kare

Uye akazvizivisa kubvira kare?

Handisi ini here, Jehovha?

Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu;

Mwari akarurama uye Muponesi,+ hakuna mumwe kunze kwangu.+

22 Tendeukirai kwandiri muponeswe,+ imi mese migumo yenyika,

Nekuti ndini Mwari, hakuna mumwe.+

23 Ndapika neni pachangu;

Shoko racho rabuda mumuromo mangu mukururama,

Uye harizodzoki:+

Mabvi ese achandipfugamira,

Rurimi rwese ruchapika kuti rucharamba rwakavimbika+

24 Ruchiti, ‘Chokwadi muna Jehovha ndimo mune kururama kwechokwadi nesimba.

Vaya vese vakamutsamwira vachauya pamberi pake vachinyara.

25 Vana* vese vaIsraeri vachava vakarurama vachibatsirwa naJehovha,+

Uye vachazvirumbidza maari.’”

46 Bheri anokotamira pasi,+ Nebho anokotama.

Zvidhori zvavo zvakatakudzwa pamhuka, idzo mhuka dzinotakuriswa zvinhu,+

Semikwende inoremedza mhuka dzaneta.

 2 Vanokotamira pasi uye vanokotama pamwe chete;

Havagoni kununura mitoro,*

Uye ivo vacho vanotapwawo.*

 3 “Nditeererei, haiwa imi imba yaJakobho, nemi mese vasara veimba yaIsraeri,+

Imi vandakachengeta kubva pakuberekwa uye vandakatakura kubva muchiri mudumbu.+

 4 Ndicharamba ndakadaro kusvikira pauchakwegura;+

Ndicharamba ndichikutakura kusvikira wachena musoro.

Ndichakusimudza, ndichakutakura uye ndichakununura, sezvandakaita.+

 5 Muchandifananidza naani kana kunditi ndakaenzana naani kana kunditi ndakaita saani,+

Kuti tinzi takafanana?+

 6 Pane vanobudisa goridhe rakawanda muchikwama chavo;

Vanoyera sirivha pachikero.

Vanobhadhara mupfuri wesimbi, uye iye anoigadzirisa mwari.+

Vanobva vapfugama, chokwadi vanomunamata.*+

 7 Vanochisimudza vochiisa pamapfudzi avo;+

Vanochitakura vochiisa munzvimbo yacho, uye chinongomira ipapo.

Hachibvi panzvimbo yacho.+

Vanoshevedzera kwachiri, asi hachipinduri;

Hachigoni kuponesa munhu pakutambudzika.+

 8 Yeukai izvi, mushinge.

Zviisei mumwoyo, imi vadariki.

 9 Yeukai zvinhu zvekare,* zvinhu zvekare kare,

Kuti ndini Mwari uye hakuna mumwe.

Ndini Mwari, uye hakuna akafanana neni.+

10 Kubvira pakutanga, ndinogara ndataura zvichaitika pakupedzisira,

Uye kubvira kare kare zvinhu zvisati zvaitwa.+

Ndinoti, ‘Zvandakasarudza zvichamira,*+

Uye ndichaita chero zvandinoda.’+

11 Ndiri kushevedza shiri yekumabvazuva inodya nyama,+

Murume achaita zvandakasarudza* kubva kunyika iri kure.+

Ndakazvitaura, uye ndichazviunza.

Ndine chinangwa chekuzviita, uye ndichazviita.+

12 Nditeererei imi vakaoma musoro,

Imi muri kure chaizvo nekururama.

13 Ndaswededza pedyo kururama kwangu;

Hakusi kure,

Uye ruponeso rwangu haruzononoki.+

Ndichapa ruponeso muZiyoni, kubwinya kwangu kuna Israeri.”+

47 Buruka ugare muguruva,

Haiwa iwe mhandara yeBhabhironi.+

Gara pasi pasina chigaro cheumambo,+

Haiwa iwe mwanasikana wevaKadheya,

Nekuti vanhu havachazokutizve wakagarika uye wakatunhidzwa.

 2 Tora guyo ukuye furawa.

Bvisa jira rawakafuka mumusoro.

Bvisa nguo yako, fukura makumbo ako.

Yambuka nzizi.

 3 Kusapfeka kwako kuchabudiswa pachena.

Kunyadziswa kwako kuchaiswa pachena.

Ndichatsiva,+ uye hakuna munhu achanditadzisa kuzviita.*

 4 “Iye ari kutidzikinura,

Jehovha wemauto ndiro zita rake,

Ndiye Mutsvene waIsraeri.”+

 5 Gara ipapo chinyararire, upinde murima,

Haiwa iwe mwanasikana wevaKadheya;+

Havachazokushevedzizve kuti Tenzikadzi* weUmambo.+

 6 Ndakatsamwira vanhu vangu.+

Ndakasvibisa nhaka yangu,+

Uye ndakavaisa muruoko rwako.+

Asi hauna kuvanzwira tsitsi.+

Kunyange pane vakwegura wakaisa joko rinorema.+

 7 Wakati: “Ndicharamba ndiri Tenzikadzi* nekusingaperi.”+

Hauna kuisa zvinhu izvi mumwoyo;

Hauna kufunga kuti nyaya yacho yaizoguma sei.

 8 Zvino chinzwa izvi, haiwa iwe anoda zvemafaro,+

Iwe anogara asina chekutya, anoti nechemumwoyo:

“Ndini wacho, hakuna mumwe.+

Handizovi chirikadzi.

Handizombofi ndakaziva chinonzi kufirwa nevana.”+

 9 Asi zvinhu zviviri izvi zvichangoerekana zvakuwira muzuva rimwe chete:+

Kufirwa nevana uye kuva chirikadzi.

Zvichakuwira pasina chakatapudzwa+

Nemhaka yeuroyi* hwako huzhinji uye zvitsinga zvako zvese zvine simba.+

10 Wakavimba nezvakaipa zvako.

Wakati: “Hakuna anondiona.”

Wakatsauswa neuchenjeri hwako neruzivo rwako,

Uye unoti nechemumwoyo: “Ndini wacho, hakuna mumwe.”

11 Asi uchawirwa nedambudziko,

Uye hapana mashiripiti ako acharidzivisa.*

Uchawirwa nenhamo; hauzokwanisi kuidzivisa.

Uchangoerekana wawirwa nekuparadzwa kwausati wamboona.+

12 Saka enderera mberi nezvitsinga zvako neuroyi hwako huzhinji,+

Zvawakashandira zvakaoma kubvira uchiri mudiki.

Zvichida ungabatsirwa;

Zvichida ungashamisa vanhu.

13 Waneta navanachipangamazano vako vazhinji.

Ngavasimuke iye zvino, vakuponese,

Vaya vanonamata denga,* vanoramba vakatarisa nyeredzi,+

Vaya vari kupa ruzivo pakugara kwemwedzi

Pamusoro pezvinhu zvichakuwira.

14 Onai! Vakaita semashanga.

Moto uchavapisa.

Havagoni kuzviponesa* pasimba rerimi racho.

Aya haasi mazimbe emoto ekudziya,

Uye uyu hausi moto wekugara pamberi pawo.

15 Saka vaya vanokuitira zvemashiripiti vachava saizvozvo kwauri,

Vaya vawakashanda navo nesimba kubvira uchiri mudiki.

Vachadzungaira, mumwe nemumwe achienda nekwake.*

Hapazovi neanokuponesa.+

48 Inzwai izvi, haiwa imi imba yaJakobho,

Imi munozvidana nezita raIsraeri+

Uye makabuda mumvura yaJudha,*

Imi munopika nezita raJehovha+

Uye munodana kuna Mwari waIsraeri,

Kunyange zvazvo musingazviiti muchokwadi nemukururama.+

 2 Nekuti vanozvishevedza nezita reguta dzvene+

Uye vanotsvaga kubatsirwa naMwari waIsraeri,+

Ane zita rekuti Jehovha wemauto.

 3 “Ndakakuudza kare kare zvinhu zvekare.*

Zvakabuda mumuromo mangu,

Uye ndakaita kuti zvizivikanwe.+

Ndakabva ndakurumidza kuzviita, uye zvakavapo.+

 4 Nekuti ndaiziva kuti wakaoma musoro,

Kuti mutsipa wako irunda* resimbi uye huma yako imhangura,+

 5 Ndakakuudza kare kare.

Ndakaita kuti uzvinzwe zvisati zvaitika,

Kuti urege kuti, ‘Chidhori changu ndicho chakaita izvi;

Mufananidzo wangu wakavezwa uye mufananidzo wangu wesimbi* ndiwo wakarayira izvi.’

 6 Wakanzwa uye wakaona zvese izvi.

Mungarega kuzvitaura here?+

Kubva iye zvino ndava kukuzivisa zvinhu zvitsva,+

Zvinhu zvakachengetwa zvakavanzwa zvausina kumboziva.

 7 Iye zvino ndipo pazviri kusikwa, kwete kare kare,

Zvinhu zvausina kumbobvira wanzwa kusvikira zuva ranhasi,

Kuti urege kuti, ‘Inzwa! Ndagara ndichizviziva.’

 8 Aiwa, hauna kunzwa,+ hauna kuziva,

Uye kare nzeve dzako dzakanga dzisina kuvhurika.

Nekuti ndinoziva kuti unyengeri hwako hwakakura,+

Uye uri kushevedzwa kuti mudariki kubva pawakaberekwa.+

 9 Asi ndichadzora kutsamwa kwangu ndichiitira zita rangu;+

Ndichazvidzora pamusoro pako ndichiitira kurumbidzwa kwangu,

Uye handizokuparadzi.+

10 Inzwa! Ndakakunatsa, asi kwete sekunatswa kunoitwa sirivha.+

Ndakakuedza* muchoto chekunyungudutsira chematambudziko.+

11 Nekuda kwezita rangu, nekuda kwezita rangu ndichaita chimwe chinhu,+

Nekuti ndingazvirega sei ndichisvibiswa?+

Handipi kukudzwa kwangu kuna chero ani zvake.*

12 Nditeerere, haiwa iwe Jakobho, uye Israeri wandakashevedza.

Ndini iye mumwe chete.+ Ndini wekutanga; uyewo ndini wekupedzisira.+

13 Ruoko rwangu rwakavaka nheyo dzenyika,+

Uye ruoko rwangu rwerudyi rwakatambanudza denga.+

Pandinoshevedzera kwazviri, zvinosimuka pamwe chete.

14 Unganai mese muteerere.

Ndiani pakati pavo akazivisa zvinhu izvi?

Jehovha akada munhu iyeye.+

Iye achaita zvaanofarira paBhabhironi,+

Uye ruoko rwake rucharwisa vaKadheya.+

15 Ini pachangu ndakataura uye ndakamushevedza.+

Ndakamuunza, uye nzira yake ichabudirira.+

16 Swederai pedyo neni munzwe izvi.

Kubvira pakutanga handina kumbotaura ndiri pakavandika.+

Ndaivapo kubvira panguva yazvakaitika.”

Zvino Changamire Ishe Jehovha andituma nemweya wake.

17 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri:+

“Ini, Jehovha, ndini Mwari wako,

Iye anokudzidzisa zvinokubatsira,*+

Iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.+

18 Kudai waizoteerera mirayiro yangu!+

Rugare rwako rwaizoita serwizi+

Uye kururama kwako semafungu egungwa.+

19 Vana* vako vaizowanda sejecha

Uye vazukuru vako setsanga dzaro.+

Zita ravo raisazombogurwa kana kutsakatiswa pamberi pangu.”

20 Budai muBhabhironi!+

Tizai vaKadheya!

Zivisai nezvazvo muchishevedzera nenzwi rekufara! Zivisai nezvazvo!+

Itai kuti zvizivikanwe kumigumo yenyika.+

Itii: “Jehovha adzikinura mushumiri wake Jakobho.+

21 Havana kuva nenyota paakavatungamirira nemunzvimbo dzakaita gwenga.+

Akaita kuti mvura iyerere ichibuda mudombo achiitira ivo;

Akatsemura dombo akaita kuti mvura itubuke.”+

22 Zvanzi naJehovha, “Vakaipa havana rugare.”+

49 Nditeererei, imi zvitsuwa,

Uye teererai munzwe, imi marudzi ari kure.+

Jehovha akandishevedza ndisati ndaberekwa.*+

Akatanga kutaura zita rangu ndichiri mudumbu raamai vangu.

 2 Akaita kuti muromo wangu uite sebakatwa rakapinza;

Akandivanza mumumvuri weruoko rwake.+

Akandiita museve wakapenyeswa;

Akandivanza muhomwe yake yemiseve.

 3 Akati kwandiri: “Uri mushumiri wangu, haiwa iwe Israeri,+

Wandichashandisa kuratidza runako rwangu.”+

 4 Asi ini ndakati: “Ndakabudira ziya pasina.

Ndakapedzera simba rangu pazvinhu zvisiri zvechokwadi, ndichishandira pasina.

Asi chokwadi mutongo wangu uri kuna Jehovha,*

Uye mubhadharo* wangu kuna Mwari wangu.”+

 5 Jehovha, iye akandiumba ndiri mudumbu kuti ndive mushumiri wake,

Ati ndidzorere Jakobho kwaari,

Kuti vaIsraeri vaungane kwaari.+

Ndichakudzwa pamberi paJehovha,

Uye Mwari wangu achange ava simba rangu.

 6 Uye akati: “Hazvina kukwana kuti uri mushumiri wangu

Kuti umutse madzinza aJakobho

Uye kuti udzose vakachengetedzwa vekwaIsraeri.

Ndakuitawo kuti uve chiedza chemarudzi,+

Kuti ruponeso rwangu rusvike kumigumo yenyika.”+

7 Jehovha, Mudzikinuri waIsraeri, Mutsvene wake,+ anoti kune uya anozvidzwa,*+ kuna iye anosemwa nerudzi, kumushandi wevatongi:

“Madzimambo achaona uye achasimuka,

Uye machinda achakotama,

Nekuda kwaJehovha, iye akatendeka,+

Mutsvene waIsraeri, uyo akusarudza.”+

 8 Zvanzi naJehovha:

“Ndakakupindura+ panguva yekufarirwa,

Uye ndakakubatsira pazuva reruponeso;+

Ndakaramba ndichikuchengetedza kuti ndiite kuti uve sungano yevanhu,+

Kuti umutsidzire nyika,

Kuti uite kuti vatore nhaka dzavo dzakanga dzasiyiwa,+

 9 Kuti uti kuvasungwa, ‘Budai!’+

Uye kune vaya vari murima,+ ‘Budai pachena!’

Vachadya pedyo nenzira,

Mafuro avo achava pamakwara ese akapfumbira.*

10 Havazovi nenzara, uyewo havazovi nenyota,+

Havazopiswi nekupisa kukuru uyewo havazogochwi nezuva.+

Nekuti uya anovanzwira tsitsi achavatungamirira,+

Uye achavatungamirira kuenda pedyo nezvitubu zvemvura.+

11 Ndichaita kuti makomo angu ese ave mugwagwa,

Uye migwagwa yangu yese mikuru ichasimudzirwa kuti ikwirire.+

12 Onai! Ava vari kubva kure,+

Uye onai! ava vari kubva kuchamhembe nekumavirira,

Uye ava kunyika yeSinimu.”+

13 Shevedzera nemufaro, iwe denga, uye fara kwazvo iwe nyika.+

Makomo ngaafare nekushevedzera kwemufaro.+

Nekuti Jehovha anyaradza vanhu vake,+

Uye anonzwira tsitsi vanhu vake vanotambudzika.+

14 Asi Ziyoni rakaramba richiti:

“Jehovha andisiya,+ Jehovha andikanganwa.”+

15 Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa here,

Kana kuti angarega kunzwira tsitsi mwanakomana waakabereka here?

Kunyange kana vakadzi ava vakakanganwa, ini handizokukanganwi.+

16 Inzwa! Ndakakunyora pazvanza zvangu ndichiita zvekutemera.

Masvingo ako anogara ari pamberi pangu.

17 Vanakomana vako vari kudzoka vachikurumidza.

Vaya vakakuputsa uye vakakuparadza vachabva pauri.

18 Simudza maziso utarise kumativi ese.

Vese vari kuungana pamwe chete.+

Vari kuuya kwauri.

“Neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Uchavapfeka vese sezvinoitwa zvishongo,

Uye uchavasungirira pauri sezvinoitwa nemwenga.

19 Kunyange zvazvo nzvimbo dzako dzakaparadzwa, dzikasara dzisina chinhu uye nyika yako yaiva matongo,+

Iye zvino ichaita diki zvakanyanya kune vaya vanogara mairi,+

Uye vaya vakakuparadza+ vachava kure.+

20 Vanakomana vakaberekwa panguva yekushayikirwa kwako vachataura iwe uchinzwa vachiti,

‘Nzvimbo yacho yanyanya kutsvikinyidzika kwandiri.

Ndipei nzvimbo pano yekuti ndigare.’+

21 Uye uchati mumwoyo mako,

‘Ndiani baba vevana ava vandiinavo,

Zvandiri mukadzi akashayikirwa nevana, uye asingabereki,

Akatapwa uye akaitwa musungwa?

Ko ava vakarerwa naani?+

Onai! Ndakasiyiwa ndiri ndega,+

Saka ava vabva kupi?’”+

22 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Inzwai! Ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu,

Uye ndichasimudzira marudzi chiratidzo changu.*+

Vachauya nevanakomana vako vakavabata mumaoko,*

Uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi.+

23 Madzimambo achava vachengeti vako,+

Uye machindakadzi avo achava vakadzi vanokurera.

Vachakukotamira zviso zvavo zvakatarisa pasi+

Uye vachananzva guruva retsoka dzako,+

Uye uchaziva kuti ndini Jehovha;

Vaya vanotarisira kwandiri havazonyadziswi.”+

24 Murume ane simba angatorerwa vaakatotapa kare here,

Kana kuti nhapwa dzemudzvinyiriri dzinganunurwa here?

25 Asi zvanzi naJehovha:

“Kunyange nhapwa dzemurume ane simba dzichatorwa,+

Uye vaya vakatapwa nemudzvinyiriri vachanunurwa.+

Ndicharwa nevaya vanokurwisa,+

Uye ndichaponesa vanakomana vako.

26 Ndichaita kuti vaya vanokuitira utsinye vadye nyama yavo,

Uye vachadhakwa neropa ravo sekunge kuti vadhakwa newaini inotapira.

Uye vanhu vese* vachaziva kuti ndini Jehovha,+

Muponesi wako+ neMudzikinuri wako,+

Ane Simba waJakobho.”+

50 Zvanzi naJehovha:

“Gwaro rekuramba+ amai venyu vandakadzinga riripi?

Kana kuti ndakakutengesai kuna ani pane vandiine chikwereti navo?

Inzwai! Kukanganisa kwenyu+ ndiko kwakaita kuti mutengeswe,

Uye amai venyu vakadzingwa nemhaka yekudarika kwenyu.+

 2 Saka nei pakanga pasina aripo pandakauya pano?

Nei pasina akapindura pandakashevedzera?+

Ruoko rwangu rwakapfupika here zvekuti rungatadza kudzikinura,

Kana kuti handina simba rekununura here?+

Inzwai! Ndinoomesa gungwa nekutuka kwangu;+

Ndinoita kuti nzizi dziite gwenga.+

Hove dzadzo dzinoora nekushaya mvura,

Uye dzinofa nenyota.

 3 Ndinopfekedza denga rima,+

Uye ndinoita kuti masaga ave chekurifukidzisa.”

 4 Changamire Ishe Jehovha akandipa rurimi rwevaya vakadzidziswa,*+

Kuti ndizive mapinduriro* andinofanira kuita munhu akaneta neshoko rakakodzera.*+

Anondimutsa mangwanani ega ega;

Anomutsa nzeve yangu kuti inzwe sezvinoita vaya vakadzidziswa.+

 5 Changamire Ishe Jehovha akavhura nzeve yangu,

Uye ini ndakanga ndisingapanduki.+

Handina kufuratira.+

 6 Ndakapa musana wangu kune vaindirova,

Uye matama angu kune vaya vakaadzura vachiasiya asina chinhu.*

Handina kuhwandisa chiso changu pakuitirwa zvinhu zvinonyadzisa uye pakupfirwa mate.+

 7 Asi Changamire Ishe Jehovha achandibatsira.+

Ndokusaka ndisingazonyadziswi.

Ndokusaka ndaita kuti chiso changu chive dombo rakaomarara,+

Uye ndinoziva kuti handizonyadziswi.

 8 Iye anonditi ndakarurama ari pedyo.

Ndiani angandipa mhosva?*+

Ngatisimukei pamwe chete.*

Ndiani ane nyaya yaari kundipomera?

Ngaauye kwandiri.

 9 Inzwai! Changamire Ishe Jehovha achandibatsira.

Ndiani achanditi ndine mhosva?

Inzwai! Vese zvavo vachasakara senguo.

Chitemamachira* chichavadya kusvika vapera.

10 Ndiani pakati penyu anotya Jehovha

Uye anoteerera inzwi remushumiri wake?+

Ndiani akafamba murima gobvu, musina kana chiedza?

Ngaavimbe nezita raJehovha asendamire pana Mwari* wake.

11 “Imi mese vari kubatidza moto,

Muchiita kuti pfarivari dzemoto dziputikire mudenga,

Fambai muchiedza chemoto wenyu,

Pakati pepfarivari dzamabatidza.

Izvi ndizvo zvamuchawana kubva muruoko rwangu:

Mucharara pasi muchirwadziwa kwazvo.

51 “Nditeererei, imi muri kutevera kururama,

Imi muri kutsvaga Jehovha.

Tarisai kudombo ramakabviswa pariri

Uye kugomba ramakacherwa.

 2 Tarisai kuna Abrahamu baba venyu

Nekuna Sara+ akakuberekai.*

Nekuti Abrahamu akanga ari mumwe chete pandakamushevedza,+

Uye ndakamukomborera ndikaita kuti vana vake vawande.+

 3 Nekuti Jehovha achanyaradza Ziyoni.+

Achanyaradza matongo aro ese,+

Uye achaita kuti renje raro rive seEdheni+

Uye gwenga raro rive semunda waJehovha.+

Kupembera nemufaro uye kufara zvichawanikwa mariri,

Nekuonga nerwiyo runonakidza.+

 4 Nditeererei, haiwa imi vanhu vangu,

Ndinzwei imi rudzi rwangu.+

Nekuti mutemo uchabva kwandiri,+

Uye ndichaita kuti kururama kwangu kuve chiedza kumarudzi.+

 5 Kururama kwangu kwava kuda kusvika.+

Ruponeso rwangu ruchabuda,+

Uye maoko angu achatonga marudzi.+

Zvitsuwa zvichatarisira kwandiri,+

Uye zvichamirira ruoko rwangu.*

 6 Tarisai kudenga,

Uye tarisai pasi, panyika.

Nekuti denga richaitwa zvidimbu zvidimbu, ropararira seutsi;

Nyika ichasakara senguo,

Uye vanogara mairi vachafa seunyunyu.*

Asi ruponeso rwangu ruchavapo nekusingaperi,+

Uye kururama kwangu hakuzokundikani.*+

 7 Nditeererei, imi munoziva kururama,

Vanhu vane mutemo* wangu mumwoyo mavo.+

Musatya kushora kwevanhuwo zvavo,

Uye musavhundutswa nemashoko avo ekutuka.

 8 Nekuti chipembenene chichavadya senguo;

Chitemamachira* chichavadya* semvere dzemakwai.+

Asi kururama kwangu kuchavapo nekusingaperi,

Uye ruponeso rwangu kwezvizvarwa zvese.”+

 9 Muka! Muka! Pfeka simba,

Haiwa iwe ruoko rwaJehovha!+

Muka sepamazuva ekare kare, sezvawakaita muzvizvarwa zvekare.

Hausi iwe wakaparadza Rahabhi*+ kuita zvidimbu zvidimbu here,

Uya akabaya zimhuka remugungwa?+

10 Hausi iwe wakaomesa gungwa, iyo mvura yakadzika here?+

Uya akaita kuti nzvimbo dzakadzika dzegungwa dzive mugwagwa kuti vaya vakadzikinurwa vayambuke here?+

11 Vanhu vaJehovha vakadzikinurwa vachadzoka.+

Vachauya kuZiyoni vachishevedzera nemufaro,+

Uye mufaro usingaperi uchava korona yavo.*+

Vachafara chaizvo, vachipembera nemufaro,

Uye kusuwa kukuru nekugomera zvichatiza.+

12 “Ini ndini ndiri kukunyaradzai.+

Nei uchifanira kutya munhuwo zvake anofa+

Uye mwanakomana wemunhu uyo achasvava seuswa hwakasvibirira?

13 Nei uchikanganwa Jehovha Muiti wako,+

Iye akatatamura denga+ nekuvaka nheyo dzenyika?

Uye zuva rese waitya hasha dzemudzvinyiriri,*

Sekunge kuti aikwanisa kukuparadza.

Zvino dziri kupi hasha dzemudzvinyiriri?

14 Uya akakotama akasungwa necheni ava pedyo nekusunungurwa;+

Haazofi opinda mugomba,

Uye haazoshayi chingwa.

15 Asi ndini Jehovha Mwari wako,

Uyo anobvongodza gungwa oita kuti mafungu aro asagadzikana,+

Jehovha wemauto ndiro zita rake.+

16 Ndichaisa mashoko angu mumuromo mako,

Uye ndichakufukidza nemumvuri weruoko rwangu,+

Kuti ndiise denga munzvimbo yaro uye ndivake nheyo dzenyika+

Uye nditi kuZiyoni, ‘Muri vanhu vangu.’+

17 Muka! Muka! Simuka, haiwa iwe Jerusarema,+

Iwe wakanwa kapu yekutsamwa kwaJehovha kubva muruoko rwake.

Wakanwa zvaiva mumudziyo wekunwira;

Wakadurura zvaiva mukapu inodzedzeresa.+

18 Pavanakomana vese vaakabereka hapana anomutungamirira,

Uye pavanakomana vese vaakarera hapana akamubata ruoko.

19 Zvinhu zviviri izvi zvakuwira.

Ndiani achakunzwira tsitsi?

Kuparadzwa nekuputswa-putswa, nzara nebakatwa!+

Ndiani achakunyaradza?+

20 Vanakomana vako vati rabada vachiita sevafa.+

Vanorara mumakona emigwagwa yese

Segwai remusango rabatwa mumambure.

Vazere nekutsamwa kwaJehovha, iko kutuka kwaMwari wako.”

21 Saka ndinokumbira kuti uteerere izvi,

Haiwa iwe mukadzi anotambudzika uye akadhakwa, asi kwete newaini.

22 Zvanzi naIshe wako Jehovha, iye Mwari wako, uyo anorwira vanhu vake:

“Inzwa! Ndichatora kapu inodzedzeresa muruoko rwako,+

Mudziyo wekunwira, kapu yangu yehasha;

Hauchainwi zvakare.+

23 Ndichaiisa muruoko rwevaya vari kukushungurudza,+

Vaya vakati kwauri,* ‘Kotama kuti tifambe pamusoro pako!’

Saka wakaita kuti musana wako uite sepasi,

Semugwagwa wekuti vafambe nawo.”

52 Muka! Muka! Pfeka simba,+ haiwa iwe Ziyoni!+

Pfeka nguo dzako dzakanaka,+ haiwa iwe Jerusarema, guta dzvene!

Nekuti munhu asina kuchecheudzwa uye asina kuchena haazopindizve mauri.+

 2 Zunza guruva, simuka ugare pachigaro, haiwa iwe Jerusarema.

Sunungura zvisungo zviri mumutsipa mako, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni akatapwa.+

 3 Nekuti zvanzi naJehovha:

“Makatengeswa pasina mubhadharo,+

Uye muchadzikinurwa pasina mari.”+

 4 Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Pakutanga vanhu vangu vakadzika kuIjipiti kuti vagare ikoko vari vatorwa;+

Asiriya yakabva yavadzvinyirira pasina chikonzero.”

 5 “Zvino ndoita sei?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

“Nekuti vanhu vangu vakatorwa pasina mubhadharo.

Vaya vari kuvatonga vanoramba vachishevedzera nekuda kwekukunda kwavo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Uye nguva dzese, muswere wese, zita rangu harisi kuremekedzwa.+

 6 Nekuda kwaizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu;+

Nekuda kwaizvozvo, pazuva iroro vachaziva kuti ndini ndiri kutaura.

Inzwai, ndini!”

 7 Dzakanaka sei mumakomo tsoka dzeuya ari kuuya nemashoko akanaka,+

Iye ari kuzivisa rugare,+

Iye ari kuuya nemashoko akanaka ezvinhu zvakanaka,

Iye ari kuzivisa ruponeso,

Iye ari kuti kuZiyoni: “Mwari wako ava Mambo!”+

 8 Teerera! Varindi vako vanoshevedzera.

Vanoshevedzera pamwe chete vachifara,

Nekuti vachanyatsozviona, Jehovha paachaunganidzazve Ziyoni.

 9 Farai, shevedzerai nemufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema,+

Nekuti Jehovha anyaradza vanhu vake;+ adzikinura Jerusarema.+

10 Jehovha aisa ruoko rwake rutsvene pachena pamberi pemarudzi ese;+

Migumo yese yenyika ichaona mabasa eruponeso aMwari* wedu.+

11 Ibvai, ibvai, budai imomo,+ musabata chinhu chisina kuchena!+

Budai mariri,+ rambai makachena,

Imi muri kutakura midziyo yaJehovha.+

12 Nekuti hamuzovhunduki pamuchabuda,

Uye hamuzofaniri henyu kutiza,

Nekuti Jehovha achakutungamirirai,+

Uye Mwari waIsraeri achava murindi wenyu weshure.+

13 Inzwai! Mushumiri wangu+ achaita zvinhu nenjere.

Achakwidziridzwa pamusoro,

Achaiswa pamusoro uye achakwidziridzwa kwazvo.+

14 Vazhinji zvavakaramba vakamutarisa vachishamiswa,

Nekuti chiso chake chakanga chakakanganisika kupfuura vamwe vanhu vese

Uye chimiro chake chakanaka chakanga chakakanganisika kupfuura chevanhu,

15 Saizvozvowo achavhundutsa marudzi mazhinji.+

Madzimambo achavhara miromo yawo* pamberi pake,+

Nekuti iwo achaona zvaasina kumboudzwa,

Uye achafunga nezvezvinhu zvaakanga asina kumbonzwa.+

53 Ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri?*+

Uye kana ruri ruoko rwaJehovha,+ rwakaratidzwa kuna ani?+

 2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake,* semudzi munyika yakaoma.

Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+

Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.*

 3 Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu,+

Munhu ainzwisisa marwadzo* uye aiziva kurwara.

Zvaiita sekuti chiso chake chakanga chakahwandiswa kuti tisachiona.*

Akazvidzwa, uye takamuona seasingakoshi.+

 4 Chokwadi iye akatakura zvirwere zvedu,+

Uye akatakura marwadzo edu.+

Asi isu takamuona seari kutambura nechirwere, seakarohwa naMwari uye seakarwadziswa.

 5 Asi iye akabayiwa+ nekuda kwekudarika kwedu;+

Akapwanyiwa nekuda kwekukanganisa kwedu.+

Akabvuma kurangwa kuti tive nerugare,+

Uye maronda ake akaita kuti tiporeswe.+

 6 Isu tese tadzungaira semakwai,+

Mumwe nemumwe atsaukira kunzira yake,

Uye Jehovha aita kuti kukanganisa kwedu tese kuve paari.+

 7 Akadzvinyirirwa+ uye akabvuma kutambudzwa,+

Asi aisashama muromo wake.

Akaunzwa segwai kuzourayiwa,+

Senhunzvi yegwai yakanyarara pamberi pevaveuri vayo,

Uye aisashama muromo wake.+

 8 Iye akabviswa nemhaka yekutongwa zvisina kunaka;*

Uye ndiani achafunga nezvemashoko edzinza rake?*

Nekuti iye akabviswa panyika yevapenyu;+

Akarohwa* nekuda kwekudarika kwevanhu vangu.+

 9 Paakafa akapiwa nzvimbo yekuvigwa* pamwe chete nevakaipa+

Uye pamwe chete nevapfumi,*+

Kunyange zvazvo pasina chakaipa chaakanga* aita

Uye pasina mashoko eunyengeri aakambotaura.+

10 Asi Jehovha aida* kuti apwanyiwe, uye akamurega achirwara.

Kana mukapa upenyu hwake* sechibayiro chemhosva,+

Achaona vana* vake, achawedzera mazuva ake,+

Uye pachishandiswa iye, zvinofarirwa naJehovha zvichabudirira.*+

11 Nemhaka yemarwadzo ake akanyanya,* iye achaona, ogutsikana.

Achishandisa ruzivo rwake, mushumiri wangu akarurama+

Achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama,+

Uye achatakura kukanganisa kwavo.+

12 Nekuda kweizvi ndichamupa mugove pakati pevazhinji,

Uye achagovana nevane simba zvinhu zvinenge zvapambwa,

Nekuti akadurura upenyu hwake* kunyange kusvikira parufu+

Uye akaverengwa pamwe chete nevadariki;+

Akatakura chivi chevanhu vakawanda,+

Uye akareverera vadariki.+

54 “Pembera nemufaro, iwe mukadzi ngomwa, asina kubereka!+

Fara uye shevedzera nemufaro,+ iwe asati ambova nemarwadzo ekusununguka,+

Nekuti vanakomana* veuya akasiyiwa vazhinji

Kupfuura vanakomana vemukadzi ane murume,”*+ anodaro Jehovha.

 2 “Ita kuti nzvimbo yetende rako iwedzere kukura.+

Tambanudza machira etende etebhenekeri yako huru.

Usarega, rebesa tambo dzako dzetende,

Uye simbisa hoko dzako dzetende.+

 3 Nekuti uchawedzera uchienda kurudyi uye kuruboshwe.

Vana vako vachaita kuti marudzi ave avo,

Uye vachagara mumaguta akasiyiwa ava matongo.+

 4 Usatya,+ nekuti hauzonyadziswi;+

Uye usanyara, nekuti hauzoodzwi mwoyo.

Nekuti uchakanganwa nyadzi dzeudiki hwako,

Uye hauzoyeukizve kuzvidzwa kweuchirikadzi hwako.”

 5 “Nekuti Muiti wako Mukuru+ akaita semurume* wako,+

Jehovha wemauto ndiro zita rake,

Uye Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako.+

Achanzi Mwari wenyika yese.+

 6 Nekuti Jehovha akakushevedza sekunge kuti waiva mudzimai akasiyiwa uye ari kushungurudzika,*+

Semudzimai akaroorwa achiri mudiki achibva azorambwa,” anodaro Mwari wako.

 7 “Ndakakusiya kwenguva diki,

Asi ndichakudzosa netsitsi huru.+

 8 Ndakakuvanzira chiso changu kwenguva pfupi ndakatsamwa kwazvo,+

Asi nerudo rusingachinji uye rusingaperi, ndichakunzwira tsitsi,”+ anodaro Mudzikinuri wako,+ Jehovha.

 9 “Izvi zvakaita semazuva aNoa kwandiri.+

Sezvandakapika kuti mvura yaNoa haichazofukidzizve nyika,+

Ndinopikawo kuti handichazokutsamwirizve kana kukutuka.+

10 Nekuti makomo angabviswa

Uye zvikomo zvingazununguswa,

Asi rudo rwangu rusingachinji haruzobviswi pauri,+

Uyewo sungano yangu yerugare haizozununguswi,”+ anodaro Jehovha, iye anokunzwira tsitsi.+

11 “Haiwa iwe mukadzi anotambudzika,+ anokandwa-kandwa nedutu, asina kunyaradzwa,+

Ndiri kuvaka matombo ako nedhaka rakasimba,

Uye faundesheni yako nematombo anonzi safaya.+

12 Ndichagadzira shongwe dzako nematombo anonzi rubhi,

Magedhi ako nematombo anopenya,*

Uye miganhu yako yese nematombo anokosha.

13 Vanakomana* vako vese vachadzidziswa naJehovha,+

Uye rugare rwevanakomana* vako ruchava rukuru.+

14 Uchasimbiswa mukururama.+

Uchava kure chaizvo nekudzvinyirirwa,+

Hapana chauchatya uye hapana chichakuvhundutsa,

Nekuti hapana chichaswedera pedyo newe.+

15 Kana pakava neanokurwisa,

Handisi ini ndinenge ndamurayira.

Munhu wese anokurwisa achakundwa.”+

16 “Inzwa! Ndini ndakasika mhizha,

Iyo inopfutidza moto wemarasha,

Yogadzira chombo pabasa rayo.

Ndiniwo ndakasika munhu anoparadza kuti aparadze.+

17 Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira,+

Uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo runokupomera pakutongwa.

Iyi inhaka yevashumiri vaJehovha,

Uye kururama kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+

55 Uyai imi mese mune nyota,+ uyai kumvura!+

Imi vasina mari, uyai, tengai mudye!

Chokwadi, uyai mutenge waini nemukaka+ pasina mari uye pasina mutengo.+

 2 Munorambirei muchibhadhara mari pazvinhu zvisiri zvekudya,

Uye munopedzerei zvamunotambiriswa* pazvinhu zvisingagutsi?

Nyatsonditeererai, mudye zvinhu zvakanaka,+

Uye muchafadzwa* chaizvo nezvinhu zvinonyatsovaka muviri.*+

 3 Rerekai nzeve dzenyu muuye kwandiri.+

Teererai, uye mucharamba muri vapenyu,

Uye ndichabva ndangoita nemi sungano inogara nekusingaperi+

Maererano nerudo rusingachinji runoratidzwa kuna Dhavhidhi urwo rwakatendeka.*+

 4 Inzwai! Ndakamuita chapupu+ kumarudzi,

Kuti ave mukuru uye mutungamiriri+ wemarudzi.

 5 Inzwa! Uchashevedza rudzi rwausingazivi,

Uye vaya verudzi rusina kumbokuziva vachamhanyira kwauri

Nekuda kwaJehovha Mwari wako,+ Mutsvene waIsraeri,

Nekuti achaita kuti ukudzwe.+

 6 Tsvagai Jehovha achiri kuwanika.+

Danai kwaari achiri pedyo.+

 7 Munhu akaipa ngaasiye nzira yake+

Uye munhu anoita zvakaipa ngaasiye kufunga kwake;

Ngaadzokere kuna Jehovha, uyo achamunzwira tsitsi,+

Kuna Mwari wedu, nekuti achamukanganwira zvikuru.*+

 8 “Nekuti kufunga kwangu hakusi kufunga kwenyu,+

Uye nzira dzenyu hadzisi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

 9 “Nekuti sekukwirira kwakaita denga kupfuura nyika,

Nzira dzangu dzakakwirirawo kupfuura nzira dzenyu,

Uye kufunga kwangu kupfuura kufunga kwenyu.+

10 Nekuti sezvinoita mvura nechando zvinonaya zvichibva kudenga,

Izvo zvisingadzokeri ikoko kusvikira zvanyatsonyorovesa nyika, zvoita kuti ibereke uye imere,

Zvopa mudyari mbeu uye zvekudya kune anodya,

11 Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu.+

Harizodzoki kwandiri risina zvaraita,+

Asi richatoita zvese zvandinofarira,*+

Uye richatobudirira pane zvandinorituma kuti riite.

12 Nekuti muchabuda muchipembera nemufaro,+

Uye muchadzoswa nerugare.+

Makomo nezvikomo zvichafara pamberi penyu zvichishevedzera nemufaro,+

Uye miti yese yesango ichaombera.+

13 Panzvimbo pemakwenzi eminzwa pachamera mujunipa,+

Uye panzvimbo perukato runobaya pachamera mukute.

Uye zvichaita kuti Jehovha ave nemukurumbira,+

Chiratidzo chisingaperi chisingazomboparari.”

56 Zvanzi naJehovha:

“Tsigirai kururama,+ uye itai zvakarurama,

Nekuti ruponeso rwangu ruchakurumidza kusvika

Uye kururama kwangu kucharatidzwa.+

 2 Anofara munhu anoita izvi

Uye mwanakomana wemunhu uyo anozvibatisisa,

Anochengeta Sabata uye asingarisvibisi,+

Uye anodzora ruoko rwake kuti arege kuita chero chinhu chakaipa.

 3 Munhu wekune imwe nyika anouya kuna Jehovha+ ngaarege kuti,

‘Chokwadi Jehovha achandiparadzanisa nevanhu vake.’

Uye ngomwa ngairege kuti, ‘Onai! Ndiri muti wakaoma.’”

4 Nekuti Jehovha ari kuti kungomwa dzinochengeta masabata angu uye dzinosarudza zvandinofarira uye dzinobatisisa sungano yangu:

 5 “Ndichaita kuti dzive nechiyeuchidzo nezita mumba mangu uye mukati memasvingo angu,

Izvo zvinopfuura vanakomana nevanasikana.

Ndichadzipa zita rinogara nekusingaperi,

Iro risingazoparari.

 6 Kana vari vekune imwe nyika vanouya kuna Jehovha kuti vamushumire,

Kuti vade zita raJehovha,+

Uye kuti vave vashumiri vake,

Vese vaya vanochengeta Sabata uye vasingarisvibisi

Uye vanobatisisa sungano yangu,

 7 Ndichavaunzawo kugomo rangu dzvene,+

Ndoita kuti vafare chaizvo muimba yangu yekunyengeterera.

Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paatari yangu.

Nekuti imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese.”+

8 Changamire Ishe Jehovha, uyo ari kuunganidza vaIsraeri vakapararira,+ anoti:

“Ndichaunganidza vamwe vanhu kwaari vasiri vaya vakatounganidzwa kare.”+

 9 Imi mhuka dzese dzesango, uyai kuzodya,

Imi mhuka dzese dzesango dziri mudondo.+

10 Varindi vake mapofu,+ hapana kana mumwe chete wavo acherechedza.+

Vese zvavo imbwa dzisingatauri, dzisingakwanisi kuhukura.+

Dziri kufemereka uye dzakarara pasi; dzinoda zvekurara.

11 Ivo imbwa dzinokara kwazvo;

Hadzitomboguti.

Ivo vafudzi vasinganzwisisi.+

Vese zvavo vaenda nenzira dzavo;

Mumwe nemumwe wavo anotsvaga kuzvipfumisa achibiridzira uye anoti:

12 “Uyai, regai nditore waini,

Uye ngatishapirei doro.+

Mangwana achaita sanhasi, richava zuva rakatonaka kupfuura nhasi!”

57 Munhu akarurama aparara,

Asi hakuna munhu ane hanya nazvo.

Varume vakavimbika vari kubviswa,*+

Asi hapana ari kuzviona kuti munhu akarurama abviswa

Nemhaka yedambudziko.*

 2 Anopinda murugare.

Vanozorora pamibhedha yavo,* vaya vese vanofamba zvakarurama.

 3 “Asi kana muri imi, uyai pedyo,

Imi vanakomana vemukadzi anoroya,

Vana vemhombwe uye pfambi:

 4 Muri kuseka ani?

Ndiani wamuri kushamira muromo zvakadaro, muchimubudisira rurimi?

Hamusi vana vanodarika here,

Vana vanonyengera,+

 5 Vaya vazere neruchiva pakati pemiti mikuru,+

Pasi pemiti yese yakasvibirira,+

Vanouraya vana mumapani,*+

Pasi pemikaha yematombo?

 6 Wakasarudza matombo anotsvedzerera emubani.*+

Ndiwo mugove wako.

Unotodururira kwaari mipiro yezvinwiwa uye unopa zvipo.+

Ndingafadzwa* nezvinhu izvi here?

 7 Wakagadzira mubhedha wako pagomo refu uye rakakwirira,+

Uye wakakwira ikoko kunopa chibayiro.+

 8 Wakaisa chiyeuchidzo chako seri kwesuo negwatidziro.*

Wakandisiya ukazvifukura;

Wakakwira pamusoro ukaita kuti mubhedha wako ukure.

Uye wakaita sungano navo.

Wakada kurara navo pamubhedha wavo,+

Uye wakaramba wakatarisa nhengo yemunhurume.*

 9 Wakadzika kuna Mereki* nemafuta

Nezvinonhuhwirira zvakawanda.

Wakatumira nhume dzako kure,

Zvekuti wakadzika kuGuva.*

10 Wakashanda zvakaoma pakutevera nzira dzako zhinji,

Asi hauna kuti, ‘Hazvina tariro!’

Simba rako rakamutsidzirwa.

Ndokusaka usinganeti.

11 Ndiani wawakavhunduka uye wawakatya

Zvekuti wakatanga kunyepa?+

Hauna kundiyeuka.+

Hapana chawakava nehanya nacho.+

Handina here kuramba ndakanyarara ndisingatauri?*+

Saka hauna kunditya.

12 Ndichazivisa ‘kururama’ kwako+ nemabasa ako,+

Uye hazvizokubatsiri.+

13 Paunoshevedzera kuti ubatsirwe,

Zvidhori zvako zvawakaunganidza hazvizokununuri.+

Zvese zvichatakurwa nemhepo,

Mhepowo zvayo yekufema inobuda mumuromo ichazvipeperetsa,

Asi uya anopotera mandiri achagara nhaka yenyika

Uye achaita kuti gomo rangu dzvene rive rake.+

14 Zvichanzi, ‘Gadzirai, gadzirai mugwagwa! Gadzirai nzira!+

Bvisai zvese zvinopiringisha munzira yevanhu vangu.’”

15 Nekuti zvanzi neuya Akakwirira uye Wekumusoro,

Uyo anogara nekusingaperi+ uye ane zita dzvene:+

“Ndinogara munzvimbo tsvene uye yakakwirira,+

Asi ndinogarawo nevaya vakadzvinyirirwa nevanozvininipisa,

Kuti ndisimbaradze vanozvininipisa

Uye ndimutsidzire mwoyo yevari kudzvinyirirwa.+

16 Nekuti handizorambi ndichirwa navo nekusingaperi

Kana kuramba ndakangotsamwa;+

Nekuti simba reupenyu remunhu ringapera nemhaka yangu,+

Kunyange zvisikwa zvinofema zvandakaita.

17 Ndakatsamwira chivi chake chekutsvaga pfuma achibiridzira,+

Saka ndakamurova, uye ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa.

Asi iye akaramba achifamba semupanduki,+ achitevera nzira yemwoyo wake.

18 Ndakaona nzira dzake,

Asi ndichamuporesa+ uye ndichamutungamirira+

Uye ndichaita kuti anyaradzwe zvakare,*+ iye nevanhu vake vari kuchema.”+

19 “Ndiri kusika zvibereko zvemiromo.

Uya ari kure neuya ari pedyo vachapiwa rugare runoramba ruripo,”+ anodaro Jehovha,

“Uye ndichamuporesa.”

20 “Asi vakaipa vakaita segungwa risina kugadzikana risingadzikami,

Uye mvura yaro inoramba ichibudisa masora emugungwa nematope.

21 Vakaipa havana rugare,”+ anodaro Mwari wangu.

58 “Shevedzera kwazvo; usarega!

Simudza inzwi rako sehwamanda.

Zivisa vanhu vangu nezvekupanduka kwavo,+

Iyo imba yaJakobho nezvezvivi zvayo.

 2 Vanonditsvaga zuva nezuva,

Uye vanoratidza kuti vanofarira kuziva nzira dzangu,

Sekunge kuti ivo rudzi rwaiita zvakarurama

Uye rwakanga rusina kusiya kururama kwaMwari warwo.+

Vanondikumbira mitongo yakarurama,

Vachifarira kuswedera pedyo naMwari vachiti:+

 3 ‘Nei musingazvioni patinotsanya?+

Uye nei musingacherechedzi patinozvirwadzisa?’*+

Nekuti pazuva ramunotsanya, munoita zvido zvenyu,*

Uye munodzvinyirira vashandi venyu.+

 4 Kutsanya kwenyu kunoguma nekupopotedzana nekurwisana,

Uye munorova nechibhakera chezvakaipa.

Inzwi renyu haringanzwiki kudenga imi muchitsanya sezvamuri kuita nhasi.

 5 Kutsanya kwandinofarira kunofanira kunge kwakadai here,

Sezuva rekuti munhu azvirwadzise* here,

Rekukotamisa musoro wake senhokwe here,

Kuti saga nemadota zvive mubhedha wake here?

Ndiko kwamunoti kutsanya uye zuva rinofadza Jehovha here?

 6 Aiwa! Uku ndiko kutsanya kwandinofarira:

Kubvisa zvisungo zvemumakumbo zvekuita zvakaipa,

Kusunungura zvitirobho zvejoko,+

Kusunungura vakadzvinyirirwa,+

Uye kutyora majoko ese nepakati;

 7 Ndekwekupawo ane nzara zvekudya zvako,+

Kupinza varombo nevasina misha mumba mako,

Kupa zvipfeko kune uya waunoona asina zvekupfeka,+

Uye kurega kupira gotsi hama dzako.

 8 Chiedza chako chichabva chabuda sechiedza chemambakwedza,+

Uye uchakurumidza kupora.

Kururama kwako kuchakutungamirira,

Uye kubwinya kwaJehovha kuchava murindi wako weshure.+

 9 Uchabva washevedza, uye Jehovha achapindura;

Uchachemera kubatsirwa, uye iye achati, ‘Ndiri pano!’

Kana ukabvisa joko pakati pako,

Uye ukarega kunongedza nemunwe wako nekutaura zvinhu zvakaipa,+

10 Kana ukapa ane nzara zvinhu zvaunoda,*+

Uye ukagutsa vaya vari kutambudzika,*

Chiedza chako chichabva chapenya kunyange murima,

Uye rima rako richaita semasikati.+

11 Jehovha achagara achikutungamirira

Uye achakugutsa* kunyange uri munyika yakaoma;+

Achasimbisa mapfupa ako,

Uye uchava semunda unowana mvura yakakwana,+

Sechitubu chisingapwi mvura.

12 Vachavakazve matongo ekare kare nekuda kwako,+

Uye uchavakazve nheyo dzezvizvarwa zvakapfuura.+

Uchanzi mugadziri wemasvingo akaputsika,+

Mumutsidziri wemigwagwa yekugara pedyo nayo.

13 Kana ukarega kuita* zvido zvako* pazuva rangu dzvene uchichengeta Sabata+

Woshevedza Sabata kuti mufaro mukuru, zuva dzvene raJehovha, zuva rinofanira kukudzwa,+

Uye worikudza pane kuita zvaunoda uye kutaura mashoko asina maturo,

14 Uchabva wafarira Jehovha kwazvo,

Uye ndichakukwidza panzvimbo dzakakwirira dzenyika.+

Ndichaita kuti udye nhaka* yaJakobho tateguru vako,+

Nekuti muromo waJehovha wataura.”

59 Inzwai! Ruoko rwaJehovha haruna kupfupika zvekuti rungatadza kuponesa,+

Uyewo nzeve yake haina kuvhara zvekuti angatadza kunzwa.+

 2 Aiwa, kukanganisa kwenyu ndiko kwakuparadzanisai naMwari wenyu.+

Zvivi zvenyu zvaita kuti akuvanzirei chiso chake,

Uye anoramba kukunzwai.+

 3 Nekuti zvanza zvenyu zvakasvibiswa neropa+

Uye zvigunwe zvenyu nekukanganisa.

Miromo yenyu inotaura manyepo,+ uye rurimi rwenyu runozevezera zvisina kururama.

 4 Hapana anoshevedzera kuti pave nekururama,+

Uye hapana anoenda kudare muchokwadi.

Vanovimba nezvinhu zvisiri zvechokwadi,*+ uye vanotaura zvisina maturo.

Vanobata pamuviri pedambudziko, vobereka zvinhu zvakaipa.+

 5 Vanochochonya mazai enyoka ine uturu,

Uye vanoruka mambure edandemutande.+

Chero munhu anodya mazai avo anofa,

Uye zai rinopwanyiwa rinobudisa nyoka ine uturu.

 6 Mambure avanoruka haazoiti senguo,

Uyewo havazozvifukidzi nezvavanogadzira.+

Mabasa avo akaipa,

Uye mumaoko avo mune mabasa emhirizhonga.+

 7 Tsoka dzavo dzinomhanyira kunoita zvakaipa,

Uye vanokurumidza kudeura ropa risina mhosva.+

Vanofunga zvinhu zvakaipa;

Kuparadza nekuonesa vamwe nhamo ndiwo maitiro avo.+

 8 Havazivi nzira yerugare,

Uye mumakwara avo hamuna zvakarurama.+

Vanoita kuti migwagwa yavo ikombame;

Hakuna anofamba nayo achaziva rugare.+

 9 Ndokusaka zvakarurama zviri kure nesu,

Uye kururama kusingasviki kwatiri.

Tinoramba tichitarisira chiedza, asi onai, kune rima;

Tichitarisira kubwinya, asi tinoramba tichifamba murima.+

10 Tinotsvangadzira madziro semapofu;

Tinoramba tichitsvangadzira sevaya vasina maziso.+

Tinogumburwa masikati machena sezvinoitika murima manheru;

Pakati pevakasimba, takangoita sevanhu vakafa.

11 Tese tinoramba tichidzvova semhuka dzinonzi mabheya

Uye tichigururudza senjiva, takasuruvara.

Tinotarisira kururama, asi hakupo;

Tinotarisira ruponeso, asi ruri kure nesu.

12 Nekuti kupanduka kwedu kuzhinji pamberi penyu;+

Chivi chedu chimwe nechimwe chinopupura kuti tine mhosva.+

Nekuti kupanduka kwedu kunesu;

Tinonyatsoziva kukanganisa kwedu.+

13 Takatadza uye takaramba Jehovha;

Takafuratira Mwari wedu.

Takataura nezvekudzvinyirira uye kupanduka;+

Takabata pamuviri pemanyepo tikazevezera mashoko enhema zvichibuda mumwoyo.+

14 Kutonga kwakarurama kunodzoserwa shure,+

Uye kururama kunomira kure;+

Nekuti chokwadi chagumburwa* munzvimbo inoungana vanhu,

Uye zvakarurama hazvikwanisi kupinda.

15 Chokwadi chanyangarika,*+

Uye chero munhu anosiya zvakaipa anopambwa.

Jehovha akazviona uye haana kufara nazvo,*

Nekuti pakanga pasingaitwi zvakarurama.+

16 Akaona kuti pakanga pasina munhu,

Uye akashamisika kuti hapana aireverera,

Saka ruoko rwake pachake ndirwo rwakaita kuti pave neruponeso,*

Uye kururama kwake kwakamutsigira.

17 Akabva apfeka kururama senguo yemurwi yesimbi

Nengowani yeruponeso* mumusoro make.+

Kutsividza ndiyo nguo yaakapfeka,+

Uye akazviputira nekushingaira sekunge akazviputira nenguo.*

18 Achavapa mubayiro wezvavakaita:+

Hasha kumhandu dzake uye kurangwa kuvavengi vake.+

Uye achaitira zvitsuwa zvazvinofanira kuitirwa.

19 Vachatya zita raJehovha kubvira kumavirira

Uye kubwinya kwake kubvira kumabvazuva,

Nekuti achauya serwizi runoyerera nesimba,

Runosundwa nemweya waJehovha.

20 “Mudzikinuri+ achauya kuZiyoni,+

Kune vaya vari pakati paJakobho vanosiya zvakaipa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

21 “Kana ndiri ini, iyi ndiyo sungano yangu navo,”+ anodaro Jehovha. “Mweya wangu uyo uri pauri nemashoko angu andaisa mumuromo mako, hazvizobviswi mumuromo mako, mumuromo mevana vako,* kana mumuromo mevazukuru vako,”* anodaro Jehovha, “kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.”

60 “Simuka, haiwa iwe mukadzi,+ vheneka, nekuti chiedza chako chauya.

Kubwinya kwaJehovha kuri kupenya pauri.+

 2 Nekuti rima richafukidza nyika

Uye rima gobvu richafukidza marudzi;

Asi Jehovha achapenya pauri,

Uye kubwinya kwake kuchaonekwa pauri.

 3 Marudzi achaenda kuchiedza chako,+

Uye madzimambo+ kune kupenya kwekubwinya kwako.*+

 4 Simudza maziso ako utarise kumativi ako ese!

Vese zvavo vaunganidzwa; vari kuuya kwauri.

Vanakomana vako vanoramba vachiuya vachibva kure,+

Pamwe chete nevanasikana vako avo vakatakurwa mumaoko.+

 5 Panguva iyoyo uchaona uye uchafara,+

Uye mwoyo wako uchatamba-tamba wofashukira,

Nekuti pfuma yegungwa ichaunzwa kwauri;

Pfuma yemarudzi ichauya kwauri.+

 6 Mapoka engamera achafukidza nyika yako,*

Idzo ngamera diki hono dzeMidhiyani neEfa.+

Vese vaya vanobva kuShebha vachauya;

Vachatakura goridhe nezvinonhuhwirira zvichena.

Vachazivisa kurumbidzwa kwaJehovha.+

 7 Mapoka ese ezvipfuwo eKedhari+ achaungana kwauri.

Makondohwe eNebhayoti+ achakushumira.

Zvichauya paatari yangu uye zvichagamuchirwa,+

Uye ndichanakisa imba yangu inobwinya.*+

 8 Ndivanaani ava vanouya vachibhururuka segore,

Senjiva dziri kuuya kuzvirugu zvadzo?*

 9 Nekuti zvitsuwa zvichatarisira kwandiri;+

Ngarava dzeTashishi ndidzo dziri pamberi,

Kuti dziunze vanakomana vako kubva kure,+

Pamwe chete nesirivha yavo negoridhe ravo

Kuzita raJehovha Mwari wako nekuMutsvene waIsraeri,

Nekuti achaita kuti ukudzwe.*+

10 Vanhu vekune imwe nyika vachavaka masvingo ako,

Uye madzimambo avo achakushumira,+

Nekuti ndakakurova ndakatsamwa,

Asi nenyasha dzangu* ndichakunzwira tsitsi.+

11 Magedhi ako achagara akavhurwa nguva dzese;+

Haazovharwi masikati kana usiku,

Kuti pfuma yemarudzi iunzwe kwauri,

Uye madzimambo awo achava pamberi.+

12 Nekuti chero rudzi kana umambo husingazokushandiri huchaparara,

Uye marudzi achaparadzwa zvachose.+

13 Kunaka kweRebhanoni kuchauya kwauri,+

Muti wemujunipa, nemufiri, nemusaipresi pamwe chete,+

Kuti ndinakise nzvimbo yangu tsvene;

Ndichaita kuti nzvimbo yetsoka dzangu ikudzwe.+

14 Vanakomana vevaya vakakudzvinyirira vachauya vokotama pamberi pako;

Vaya vese vasingakuremekedzi vachakotama patsoka dzako,

Uye vachatokushevedza kuti guta raJehovha,

Ziyoni reMutsvene waIsraeri.+

15 Panzvimbo pekusiyiwa nekuvengwa, pasina anopfuura nemauri,+

Ndichaita kuti uve chinhu chinodadisa nekusingaperi,

Chinoita kuti pave nekupembera nemufaro kwezvizvarwa nezvizvarwa.+

16 Chokwadi uchanwa mukaka wemarudzi,+

Uchayamwa zamu remadzimambo;+

Uye chokwadi uchaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako,

Uye Ane Simba waJakobho ndiye Mudzikinuri wako.+

17 Panzvimbo pemhangura ndichaunza goridhe,

Uye panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha,

Panzvimbo pematanda, mhangura,

Uye panzvimbo pematombo, simbi;

Uye ndichagadza rugare kuti ruve vatariri vako

Uye kururama kuti kuve vanokupa basa.+

18 Mhirizhonga haichazonzwikizve munyika yako

Kana kuparadza nekukuvadza mukati memiganhu yako.+

Uye uchashevedza masvingo ako kuti Ruponeso,+ nemagedhi ako kuti Kurumbidza.

19 Zuva harizovizve chiedza chako masikati,

Uye kupenya kwemwedzi hakuzokupi chiedza,

Nekuti Jehovha achava chiedza chinogara nekusingaperi kwauri,+

Uye Mwari wako achava runako rwako.+

20 Zuva rako harizovirizve,

Uyewo chiedza chemwedzi wako hachizoendi chichipera,

Nekuti Jehovha achava chiedza chinogara nekusingaperi kwauri,+

Uye mazuva ekuchema kwako achange apera.+

21 Uye vanhu vako vese vachava vakarurama;

Vachava varidzi venyika yacho nekusingaperi.

Ivo inhungirwa yandakadyara,

Basa remaoko angu+ rinoita kuti ndipiwe runako.+

22 Mudiki achava chiuru

Uye akadukupa achava rudzi rune simba.

Ini Jehovha ndichaita kuti zvikurumidze panguva yazvo.”

61 Mweya waChangamire Ishe Jehovha uri pandiri,+

Nekuti Jehovha akandizodza kuti ndizivise vanyoro mashoko akanaka.+

Akandituma kuti ndisunge maronda evakaora mwoyo,

Kuti ndizivise nezvekusunungurwa kune vaya vakatapwa

Uye nezvekusvinudzwa kwemaziso kuvasungwa,+

 2 Kuti ndizivise nezvegore rekufarirwa naJehovha*

Nezuva rekutsiva kwaMwari wedu,+

Kuti ndinyaradze vese vanochema,+

 3 Kuti ndibatsire vaya vanochema Ziyoni,

Kuti ndivape chishongo chemusoro panzvimbo pemadota,

Mafuta ekupembera nemufaro panzvimbo pekuchema,

Nguo yekurumbidza panzvimbo pekunetseka mumwoyo.

Uye ivo vachanzi miti mikuru yekururama,

Zvakadyarwa naJehovha, kuti akudzwe.*+

 4 Vachavakazve matongo ekare;

Vachamisa nzvimbo dzekare dzaiva matongo,+

Uye vachaita kuti maguta akaparadzwa avepozve,+

Idzo nzvimbo dzaiva matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+

 5 “Vanhu vamusingazivi vachamira vofudza zvipfuwo zvenyu,

Uye vekune imwe nyika+ vachava varimi venyu nevashandi venyu vemuminda yemizambiringa.+

 6 Asi imi muchanzi vapristi vaJehovha;+

Vachakushevedzai kuti vashumiri vaMwari wedu.

Muchadya pfuma yemarudzi,+

Uye muchadada nekukudzwa kwawo.*

 7 Panzvimbo penyadzi muchava nemigove miviri,

Uye panzvimbo pekunyadziswa vachapembera nemufaro pamusoro pemugove wavo.

Chokwadi vachava nemigove miviri munyika yavo.+

Vachapembera nemufaro nekusingaperi.+

 8 Nekuti ini Jehovha, ndinoda zvakarurama;+

Ndinovenga ugororo uye kusarurama.+

Ndichavapa mubayiro wavo nekutendeka,

Uye ndichaita navo sungano inogara nekusingaperi.+

 9 Vana* vavo vachazivikanwa pakati pemarudzi+

Uye vazukuru vavo pakati pevanhu.

Vese vanovaona vachavaziva,

Kuti ndivo vana* vakakomborerwa naJehovha.”+

10 Ndichava nemufaro mukuru muna Jehovha.

Ndichapembera* nemufaro muna Mwari wangu.+

Nekuti andipfekedza nguo dzeruponeso;+

Andiputira nenguo* yekururama,

Sezvinoita murume ari kuroora anopfeka ngowani* yakaita seyemupristi,+

Uye sezvinoita mwenga anozvishongedza.

11 Nekuti sekubudisa kunoita nyika zvinomera zvayo

Uye sekumeresa kunoita munda zvinhu zvakadyarwa mauri,

Changamire Ishe Jehovha

Achameresawo kururama nekurumbidza+ pamberi pemarudzi ese.

62 Handizorambi ndakanyarara nekuda kweZiyoni,+

Uye handizorambi ndakangopeta maoko nekuda kweJerusarema

Kusvikira kururama kwaro kwapenya sechiedza chinobwinya+

Uye kuponeswa kwaro kwabvira semwenje.+

 2 “Marudzi achaona kururama kwako, haiwa iwe mukadzi,+

Uye madzimambo ese achaona kukudzwa kwako.+

Uchashevedzwa nezita idzva,+

Rauchapiwa nemuromo waJehovha pachake.

 3 Uchava korona yerunako muruoko rwaJehovha,

Ngowani* yeumambo muchanza chaMwari wako.

 4 Hauzonzizve mukadzi akasiyiwa,+

Uye nyika yako haizonzizve dongo.+

Asi iwe uchanzi Iye Wandinofarira,+

Uye nyika yako ichanzi Uya Akaroorwa.

Nekuti Jehovha achakufarira,

Uye nyika yako ichaita semunhu akaroorwa.

 5 Nekuti sezvinoita jaya rinoroora mhandara,

Vanakomana vako vachakuroora.

Sekufarira kunoita murume mudzimai waari kuroora,

Mwari wako achakufarira.+

 6 Haiwa Jerusarema, ndaisa varindi pamusoro pemasvingo ako.

Ngavarege kunyarara siku nesikati.

Imi munotaura nezvaJehovha,

Musazorora,

 7 Uye musamuzorodza kusvikira asimbisa Jerusarema,

Kusvikira aita kuti rive guta rinorumbidzwa panyika.”+

 8 Jehovha apika achishandisa ruoko rwake rwerudyi, ruoko rwake rune simba achiti:

“Handizopizve vavengi vako zvirimwa zvako kuti zvive zvekudya zvavo,

Uyewo vekune imwe nyika havazonwi waini yako itsva yawakabudira ziya.+

 9 Asi vaya vari kuzvikohwa ndivo vachazvidya uye vacharumbidza Jehovha;

Uye vaya vari kuunganidza mazambiringa ndivo vachanwa waini yacho muzvivanze zvangu zvitsvene.”+

10 Budai, budai nepamagedhi.

Gadzirirai vanhu nzira.+

Gadzirai, gadzirai mugwagwa mukuru.

Ubvisei matombo.+

Simudzirai marudzi chiratidzo.*+

11 Inzwai! Jehovha azivisa kumigumo yenyika achiti:

“Itii kumwanasikana weZiyoni,

‘Inzwa! Ruponeso rwako ruri kuuya.+

Inzwa! Mwari ane mubayiro waanawo,

Uye mubhadharo waanopa uri pamberi pake.’”+

12 Vachashevedzwa kuti vanhu vatsvene, vaya vakadzikinurwa naJehovha,+

Uye iwe uchashevedzwa kuti Anodiwa, Guta Risina Kusiyiwa.+

63 Ndiani uyo ari kubva kuEdhomu,+

Ari kubva kuBhozra+ aine nguo dzine ruvara rwakajeka,*

Ane zvipfeko zvakanaka chaizvo,

Ari kufamba musimba rake guru?

“Ndini uya ari kutaura mukururama,

Iye ane simba guru rekuponesa.”

 2 Nei zvipfeko zvako zvakatsvuka,

Uye nei nguo dzako dzakaita sedzemunhu ari kutsika-tsika muchisviniro chewaini?+

 3 “Ndakatsika-tsika muchisviniro chewaini ndiri ndega.

Hapana munhu wekune mamwe marudzi wandaiva naye.

Ndakaramba ndichivatsika-tsika ndakatsamwa,

Uye ndakaramba ndichivatsika-tsika ndiine hasha.+

Nguo dzangu dzakatsatikirwa neropa ravo,

Ndikasvibisa zvipfeko zvangu zvese.

 4 Nekuti zuva rekutsiva riri mumwoyo mangu,+

Uye gore revakadzikinurwa vangu rasvika.

 5 Ndakatarisa, asi pakanga pasina anobatsira;

Ndakakatyamadzwa kuti pakanga pasina aitsigira.

Saka ruoko rwangu rwakandiponesa,*+

Uye hasha dzangu ndidzo dzakanditsigira.

 6 Ndakatsika-tsika marudzi ndakatsamwa,

Ndakaadhakisa nehasha dzangu,+

Ndikadururira ropa rawo pasi.”

 7 Ndichataura nezvemabasa aJehovha erudo rusingachinji,

Iwo mabasa aJehovha akakodzera kurumbidzwa,

Ndichadaro nekuda kwezvese zvatakaitirwa naJehovha,+

Zvinhu zvakanaka zvakawanda zvaakaitira imba yaIsraeri,

Maererano netsitsi dzake uye rudo rwake rukuru rusingachinji.

 8 Nekuti akati: “Chokwadi ivo vanhu vangu, vanakomana vasingazovi vanhu vasina kuvimbika.”*+

Saka akava Muponesi wavo.+

 9 Pakutambudzika kwavo kwese naiyewo akanga achitambudzika.+

Uye nhume yake* yakavaponesa.+

Akavadzikinura nerudo rwake netsitsi dzake,+

Uye akavasimudza, akavatakura mazuva ese ekare.+

10 Asi ivo vakapanduka,+ vakarwadzisa mweya wake mutsvene.+

Iye akabva achinja akava muvengi wavo,+

Uye akavarwisa.+

11 Uye vakayeuka mazuva ekare,

Mazuva aMozisi mushumiri wake, vachiti:

“Ari kupi iye akavabudisa mugungwa+ nevafudzi vemakwai ake?+

Ari kupi iye akaisa mweya wake mutsvene maari,+

12 Iye akaita kuti ruoko rwake runokudzwa ruende neruoko rwerudyi rwaMozisi,+

Iye akakamura mvura pamberi pavo+

Kuti zita rake rive nemukurumbira nekusingaperi,+

13 Iye akavafambisa nemumvura yaiva nemafungu,*

Zvekuti vakafamba vasingagumburwi,

Sebhiza munzvimbo isina chinhu?*

14 Sezvinoitika panoenda zvipfuwo mubani,

Mweya waJehovha wakavazorodza.”+

Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu,

Kuti muite kuti zita renyu rikudzwe.*+

15 Tarisai muri kudenga muone,

Muri munzvimbo yenyu yekugara yakakwirira yeutsvene nekukudzwa.*

Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviri kupi,

Kumutswa kwetsitsi dzenyu*+ nengoni dzenyu?+

Hazvisi kuunzwa kwandiri.

16 Nekuti ndimi Baba vedu;+

Kunyange zvazvo Abrahamu angasatiziva

Uye Israeri angasaziva kuti tiri vanaani,

Imi, haiwa Jehovha, ndimi Baba vedu.

Mudzikinuri wedu wekare kare ndiro zita renyu.+

17 Haiwa Jehovha, munotisiyirei tichidzungaira* tichibva panzira dzenyu?

Sei muchirega mwoyo yedu ichioma,* zvekuti hatikutyii?+

Dzokai nekuda kwevashumiri venyu,

Madzinza enhaka yenyu.+

18 Yakanga iri yevanhu venyu vatsvene kwenguva pfupi.

Mhandu dzedu dzakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.+

19 Tava nenguva yakareba chaizvo takaita sevaya vamusina kumbobvira matonga,

Sevaya vasina kumbobvira vashevedzwa nezita renyu.

64 Kudai henyu makanga mabvarura denga moburuka,

Kuti makomo azununguswe nemhaka yenyu,

 2 Sezvinoitika moto paunobatidza tsotso,

Uye moto paunoita kuti mvura ifashaire,

Zita renyu raizozivikanwa nemhandu dzenyu,

Uye marudzi aizodedera pamberi penyu!

 3 Pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisingambotarisiri,+

Makaburuka, uye makomo akazununguka pamberi penyu.+

 4 Kubvira kare hapana akanzwa kana akateerera,

Uye hapana ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu,

Anobatsira vaya vanoramba vachitarisira kwaari.*+

 5 Makasangana nevaya vanoita zvakarurama vachifara,+

Vaya vanokuyeukai uye vanotevera nzira dzenyu.

Makatsamwa patairamba tichitadza,+

Takazviita kwenguva refu.

Zvino tingakodzera kuponeswa here?

 6 Uye tese taita semunhu asina kuchena,

Uye mabasa edu ese akarurama aita sejira rinoshandiswa nemukadzi ari kumwedzi.+

Tese tichasvava seshizha,

Uye kukanganisa kwedu kuchatipeperetsa sezvinoita mhepo.

 7 Hapana anodana zita renyu,

Hapana anoita pfungwa dzekuti akubatei,

Nekuti mativanzira chiso chenyu,+

Uye munoita kuti tiperezeke* nemhaka yekukanganisa* kwedu.

 8 Kunyange zvakadaro, haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu.+

Isu tiri ivhu, uye imi muri Muumbi wedu;*+

Tese tiri basa remaoko enyu.

 9 Haiwa Jehovha, musanyanya kutsamwa,+

Uye musayeuka kukanganisa kwedu nekusingaperi.

Tinokumbirawo kuti mutitarise, nekuti tese tiri vanhu venyu.

10 Maguta enyu matsvene ava renje.

Ziyoni rava renje,

Jerusarema rangova nzvimbo isina chinhu.+

11 Imba* yedu yeutsvene nekukudzwa,*

Yaishandiswa nemadzitateguru edu paaikurumbidzai,

Yapiswa nemoto,+

Uye zvinhu zvedu zvese zvataida chaizvo zvangova matongo.

12 Mucharamba muchingozvidzora here muchiona zvinhu zvakadai, haiwa Jehovha?

Mucharamba makanyarara muchitirega tichitambudzwa zvakanyanya kudai here?+

65 “Ndakabvuma kutsvagwa nevaya vasina kubvunza nezvangu;

Ndakabvuma kuwanikwa nevaya vasina kunditsvaga.+

Ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano!’ kurudzi rwakanga rusiri kudana zita rangu.+

 2 Ndakaita zuva rese ndakatambanudzira maoko angu kuvanhu vakaoma musoro,+

Kune vaya vari kufamba munzira isina kunaka,+

Vachitevera pfungwa dzavo;+

 3 Vanhu vanogara vachindigumbura ndakatarisa,+

Vanopa zvibayiro muminda,+ vachikwidza utsi hwezvibayiro pazvidhinha.

 4 Vanogara pakati pemakuva,+

Uye vanoita usiku hwese vari munzvimbo dzakahwanda,*

Vachidya nyama yenguruve,+

Uye mumidziyo yavo mune muto wezvinhu zvisina kuchena.*+

 5 Vanoti, ‘Gara wega; usauya kwandiri,

Nekuti ndiri mutsvene kukupfuura.’*

Vanhu ava utsi huri mumhino dzangu, moto uri kubvira zuva rese.

 6 Inzwa! Zvakanyorwa pamberi pangu;

Handizorambi ndakamira,

Asi ndichavaranga,+

Ndichavaranga zvizere*

 7 Nemhaka yekukanganisa kwavo uye kukanganisa kwemadzitateguru avo,”+ anodaro Jehovha.

“Vakakwidzira utsi hwezvibayiro mumakomo

Uye vakandizvidza muzvikomo,+

Saka ndichatanga ndayera mubayiro wavo uzere.”*

 8 Zvanzi naJehovha:

“Sezvinoitika panowanika waini itsva musumbu remazambiringa

Mumwe munhu oti, ‘Usariparadza, nekuti pasumbu racho pane zvakanaka,’*

Ndizvo zvandichaitawo nekuda kwevashumiri vangu;

Handizopedzi vese ndichivaparadza.+

 9 Ndichaita kuti kuna Jakobho kubve mwana*

Uye kuti kuna Judha kubve iye achagara nhaka makomo angu;+

Vaya vandakasarudza vachaitora kuti ive yavo,

Uye vashumiri vangu vachagara imomo.+

10 Sharoni+ ichava mafuro emakwai

Uye Bani reAkori+ nzvimbo yekuzororera yemombe,

Nekuda kwevanhu vangu vanonditsvaga.

11 Asi imi muri pakati pevaya vanosiya Jehovha,+

Vaya vanokanganwa gomo rangu dzvene,+

Vaya vanogadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura yezvekudya,

Uye vaya vanozadzira mwari Anosarudza Zvichaitika makapu ewaini yakavhenganiswa.

12 Saka ndichagara ndakusarudzirai bakatwa,+

Uye mese muchakotama kuti muurayiwe,+

Nekuti ndakashevedza, asi hamuna kupindura,

Ndakataura, asi hamuna kuteerera;+

Makaramba muchiita zvakaipa pamberi pangu,

Uye makasarudza zvinhu zvisina kundifadza.”+

13 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

“Inzwai! Vashumiri vangu vachadya, asi imi muchava nenzara.+

Inzwai! Vashumiri vangu vachanwa,+ asi imi muchava nenyota.

Inzwai! Vashumiri vangu vachapembera nemufaro,+ asi imi muchanyara.+

14 Inzwai! Vashumiri vangu vachashevedzera vachifara nekuti vanenge vakagadzikana mumwoyo,

Asi imi muchashevedzera nemhaka yekurwadziwa mumwoyo

Uye mucharidza mhere nemhaka yekushungurudzika.

15 Zita ramuchasara muchiyeukwa naro richashandiswa pakutuka nevaya vandakasarudza,

Uye Changamire Ishe Jehovha achauraya mumwe nemumwe wenyu,

Asi achashevedza vashumiri vake nerimwe zita;+

16 Kuti wese anotsvaga kukomborerwa panyika

Akomborerwe naMwari wechokwadi,*

Uye wese anoita mhiko panyika

Apike naMwari wechokwadi.*+

Nekuti matambudziko ekare achakanganwika;

Achabviswa pamberi pangu.+

17 Nekuti inzwai! ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva;+

Uye zvinhu zvekare hazvizouyi mupfungwa,*

Uyewo hazvizouyi mumwoyo.+

18 Saka pemberai nemufaro, uye farai nekusingaperi pamusoro pezvandiri kusika.

Nekuti inzwai! ndiri kusika Jerusarema kuti rive chikonzero chekufara

Uye vanhu varo kuti vave chikonzero chekupembera nemufaro.+

19 Uye ndichafarira Jerusarema ndopembera nemufaro pamusoro pevanhu vangu;+

Mariri hamuzonzwikizve inzwi rekuchema kana kuchema kwevari kutambura.”+

20 “Munzvimbo iyoyo hamuzovizve nemucheche anongorarama mazuva mashoma,

Kana munhu akwegura anotadza kurarama mazuva ake ese.

Nekuti chero munhu achafa aine makore zana achangoonekwa semukomana,

Uye mutadzi achatukwa kunyange ava nemakore zana.*

21 Vachavaka dzimba vogaramo,+

Uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo.+

22 Havazovaki kuti mumwe munhu agare,

Kana kudyara kuti mumwe munhu adye.

Nekuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva emuti,+

Uye vanhu vandakasarudza vachanyatsofadzwa nebasa remaoko avo.

23 Havazoshandi zvakaoma* pasina,+

Kana kubereka vana vachatambudzika,

Nekuti ivo vana* vakakomborerwa naJehovha,+

Pamwe chete nevazukuru vavo.+

24 Ndichapindura kunyange vasati vashevedzera;

Ndichanzwa vachiri kutaura.

25 Mhumhi negwayana zvichafura pamwe chete,

Shumba ichadya uswa semombe,+

Uye nyoka ichadya guruva.

Hazvizokuvadzi kana kuparadza mugomo rangu rese dzvene,”+ anodaro Jehovha.

66 Zvanzi naJehovha:

“Denga ndiro chigaro changu cheumambo uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.+

Saka mungandivakira imba yakaita sei,+

Uye nzvimbo yangu yekuzororera iri kupi?”+

 2 “Ruoko rwangu ndirwo rwakagadzira zvinhu zvese izvi,

Uye uku ndiko kuvapo kwazvakaita,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+

“Saka ndichatarisa kumunhu uyu,

Kuna iye anozvininipisa neakasuruvara uyo anodedereswa neshoko* rangu.+

 3 Munhu ari kuuraya mukono wemombe akaita seuya ari kuuraya munhu.+

Ari kubayira gwai akaita seuya ari kutyora mutsipa wembwa.+

Ari kupa chipo akaita seuya ari kupa ropa renguruve!+

Ari kupa mupiro wechiyeuchidzo wezvinonhuhwirira zvichena+ akaita seuya ari kukomborera nemashoko evaya vanoita zvemashiripiti.*+

Vakasarudza nzira dzavo vega,

Uye vanofarira* zvinhu zvinosemesa.

 4 Saka ndichasarudza nzira dzekuvaranga nadzo,+

Uye zvacho zvavanotya ndizvo zvandichavaitira.

Nekuti pandakashevedza hapana akapindura;

Pandakataura, hapana akateerera.+

Vakaramba vachiita zvakaipa pamberi pangu,

Uye vakasarudza kuita zvinhu zvisina kundifadza.”+

 5 Inzwai shoko raJehovha, imi munodedereswa neshoko* rake:

“Hama dzenyu idzo dzinokuvengai uye dzinokurambai nekuda kwezita rangu, dzakati: ‘Jehovha ngaakudzwe!’+

Asi iye achazviratidza oita kuti mufare,

Uye ivo ndivo vachanyadziswa.”+

 6 Kune mheremhere iri kubva muguta, ruzha ruri kubva kutemberi!

NdiJehovha ari kutsiva vavengi vake zvakavakodzera.

 7 Mukadzi akabereka mwana asati arwadziwa nepamuviri.+

Akabereka mwanakomana asati arwadziwa nepamuviri.

 8 Ndiani akambonzwa nezvechinhu chakadai?

Ndiani akaona zvinhu zvakadai?

Nyika ingaberekwa nezuva rimwe chete here?

Kana kuti rudzi rungangoerekana rwaberekwa here?

Asi Ziyoni parakangorwadziwa nepamuviri, rakabva rabereka vanakomana varo.

 9 “Ndingaita kuti mwana asvike pakuda kusunungukwa, ndorega kuita kuti avepo here?” anodaro Jehovha.

“Kana kuti ndingaita kuti munhu asununguke ndovhara chibereko here?” anodaro Mwari wako.

10 Farai neJerusarema uye farai naro+ imi mese munorida.+

Pemberai naro nemufaro, imi mese muri kurichema,

11 Nekuti muchayamwa zamu raro rekunyaradza monyatsoguta,

Uye muchanyatsonwa mofarira kukudzwa kwaro kukuru.

12 Nekuti zvanzi naJehovha:

“Onai ndiri kuripa rugare rwakaita serwizi+

Nekukudzwa kwemarudzi kwakaita serukova rwakafashamira.+

Muchayamwa motakurwa mumaoko,

Uye muchatambiswa-tambiswa pamakumbo.

13 Saamai vanonyaradza mwanakomana wavo,

Ndicharambawo ndichikunyaradzai;+

Uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.+

14 Muchazviona uye mwoyo yenyu ichafara chaizvo,

Mapfupa enyu achava neutano seuswa hutsva.

Uye ruoko rwaJehovha ruchazivikanwa* nevashumiri vake,

Asi achapa vavengi vake mhosva.”+

15 “Nekuti Jehovha achauya semoto,+

Uye ngoro dzake dzakaita sedutu,+

Kuti atsive akashatirwa zvikuru,

Kuti atuke nemarimi emoto.+

16 Nekuti Jehovha achaunza mutongo wake achishandisa moto,

Chokwadi achatonga vanhu vese nebakatwa rake;

Uye vaya vachaurayiwa naJehovha vachava vazhinji.

17 “Vaya vanozvitsvenesa uye vanozvichenesa kuti vapinde muminda*+ vachitevera uya ari pakati, vaya vari kudya nyama yenguruve+ nezvinhu zvinosemesa, nembeva,+ vachapera vese pamwe chete,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 18 “Sezvo ndichiziva mabasa avo nekufunga kwavo, ndiri kuuya kuzounganidza vanhu vemarudzi ese nemitauro, uye vachauya voona kubwinya kwangu.”

19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatuma vamwe vevachapukunyuka kuti vaende kumarudzi, kuTashishi,+ Puri, neRudhi,+ vaya vanopfura neuta, kuTubhari neJavhani,+ uye kuzvitsuwa zviri kure, iwo marudzi asina kunzwa nezvangu kana kuona kubwinya kwangu; uye vachazivisa kubwinya kwangu pakati pemarudzi.+ 20 Vachaunza hama dzenyu dzese dzichibva kumarudzi ese+ kuti dzive chipo kuna Jehovha, dzakatasva mabhiza, dziri mungoro dzehondo, mungoro dzine matenga, uye dzakatasva manyurusi nengamera dzinomhanya kwazvo, dzichikwira kugomo rangu dzvene, Jerusarema,” anodaro Jehovha, “sezvinoitwa nevanhu veIsraeri pavanouya nechipo chavo muimba yaJehovha chiri mumudziyo wakachena.”

21 “Ndichatorawo vamwe kuti vave vapristi, uye kuti vave vaRevhi,” anodaro Jehovha.

22 “Nekuti sezvichaita matenga matsva nenyika itsva+ zvandiri kusika izvo zvicharamba zviripo pamberi pangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “saizvozvowo vana* venyu nezita renyu zvicharamba zviripo.”+

23 “Uye kubvira pakugara kwemwedzi kusvika pakugara kwemwedzi uye kubvira pasabata kusvika pasabata,

Vanhu vese vachauya kuzokotama* pamberi pangu,”+ anodaro Jehovha.

24 “Uye vachabuda votarisa zvitunha zvevarume vakandipandukira;

Nekuti honye dziri pavari hadzizofi,

Uye moto uri kuvapisa hauzodzimwi,+

Uye vachava chinhu chinosemwa nevanhu vese.”

Kureva kuti “Ruponeso rwaJehovha.”

Kana kuti “havazivi tenzi wavo.”

ChiHeb., “kusvinwa.”

Kana kuti “imi vatongi.”

Kana kuti “murayiro.”

Kana kuti “Mweya wangu wakavenga.”

Kana kuti “doro rako regorosi.”

Pano pari kureva zvinoitwa panonyungudutswa simbi painenge ichinatswa.

Panenge pari kureva miti neminda yaiva nechekuita nekunamata zvidhori.

Shinda isinganonoki kubata moto.

Kana kuti “Pakunopera kwemazuva acho.”

Kana kuti “murayiro.”

Kana kuti “Ogadzirisa.”

Kana kuti “vachaninipiswa.”

Kana kuti “vachaninipiswa.”

Utwu tumbeva tunodya zvakanyanya.

Kana kuti “Uyo ane mhepo yake yekufema mumhino dzake.”

Kana kuti “vanochinja-chinja pfungwa.”

Kana kuti “Handizokurapi.”

ChiHeb., “mumaziso ekubwinya kwake.”

Kana kuti “Mweya yavo ine.”

ChiHeb., “Vachadya zvibereko zvemabasa avo.”

ChiHeb., “vakamisa mutsipa (huro).”

Kana kuti “kwezvishongo zvavo zvemuzviziso zvemutsoka.”

ChiHeb., “Nedzimba dzemweya.”

Kana kuti “nenguo dzemukati.”

Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

Uyu mucherechedzo waiiswa pamuviri wemusungwa kana muranda, achiita zvekupiswa.

Kureva, kuzvidzwa nemhaka yekusaroorwa uye kusava nevana.

Kana kuti “rekurasa.”

Kana kuti “heji yawo.”

ChiHeb., “zvipani gumi.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Sheori.”

Kana kuti “mweya waro.”

Kana kuti “Uye vanokudzwa veguta racho.”

Kana kuti “nekutonga kwake zvakarurama.”

Kana kuti “Chisarudzo.”

Kana kuti “murayiro.”

Kana kuti “bango rechiratidzo.”

Kana kuti “hwakakungwa.”

Kana kuti “seshumba dzava nezenze.”

ChiHeb., “Iro.”

Aya mapango anenge akabatirira gonhi kana kuti dhoo.

ChiHeb., “neinzwi reaishevedzera.”

ChiHeb., “Ndanyararidzwa.”

Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi.

Kana kuti, “mbeu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ivo havana.”

Kureva kuti “Pachangova Nevashoma Vachadzoka.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “tiityise.”

Kana kuti “tinopaza neparusvingo rwayo.” ChiHeb., “tinoitsemura tiivhure.”

Kana kuti “seSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Mukadzi wechidiki.”

Kureva kuti “Mwari Anesu.”

Kana kuti “murwizi.”

Kureva, Yufratesi.

Kana kuti “chemunhuwo anofa.”

Zvinogona kunge zvichireva kuti “Kumhanyira Zvakapambwa, Kukurumidza Kuuya Kune Zvakapambwa.”

Kana kuti “risimbiswe richiita zvekunyorwa; riratidzwe kuti nderechokwadi.”

ChiHeb., “ndaswedera pedyo.”

Kureva, mudzimai waIsaya.

Shiroa waiva mugero wemvura.

Kureva, Yufratesi.

Ona Isa 7:14.

Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “Mwari anesu” nderekuti Emanueri. Ona Isa 7:14; 8:8.

Kana kuti “murayiro.”

Kana kuti “Ndicharamba ndakamirira Jehovha nemwoyo wese.”

ChiHeb., “mambakwedza.”

Kana kuti “hurumende ichava; kutonga kwemuchinda kuchava.”

Kana kuti “Hurumende yake icharamba ichiwedzera simba; Utongi hwake semuchinda hucharamba huchiwedzera.”

ChiHeb., “kumashure.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “bazi remuchindwe netsanga.”

Kana kuti “kukudzwa kwenyu.”

ChiHeb., “ndicharanga.”

Kana kuti “Achabvisa kubva pamweya kusvika panyama.”

Kana kuti “nedemo.”

Kana kuti “zvakarurama.”

Kana kuti “nemweya.”

Kana kuti “neshumba yava nezenze.”

Kana kuti “sebango rechiratidzo.”

Kana kuti “Marudzi achamutsvaga.”

Kana kuti “kuBhabhironia.”

Kana kuti “bango rechiratidzo.”

ChiHeb., “papfudzi.”

Kana kuti “Vachaita kuti simba ravo risvike kuEdhomu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “achaomesa.”

Kureva, Yufratesi.

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti ruve hova.”

“Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Kana kuti “Ridzai rwiyo.”

ChiHeb., “mukadzi.” Vagari vemo vese ndivo vari kunzi mukadzi.

Kana kuti “bango rechiratidzo.”

ChiHeb., “vakatsveneswa vangu.”

ChiHeb., “nemaKesiri adzo,” pangava pachitaura nezveboka renyeredzi rinonzi Orioni nemamwe mapoka enyeredzi akaripoteredza.

Kana kuti “kushongedzwa kweumambo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “madhimoni akaita sembudzi.”

Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Kana kuti “Achavapa zororo.”

Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “Idzo nhongo.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “muimba yake.”

Kana kuti “Sebazi rinosemwa.”

Kana kuti “rwakagadzirira kurova.”

Kana kuti “nyoka ine uturu inomhanya.”

Kana kuti “kuTemberi.”

Kana kuti “Mweya wake uri kudedera.”

Kana kuti “rwizi rwemiti.”

Kana kuti “mapazi awo akaremerwa nemazambiringa matsvuku.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Nekuti kushevedzera kukuru kwevarwi kwadzika kuchiuya pamichero yako yezhizha nepagoho rako.”

Kana kuti “ayo anoverengwa pachinyatsotevedzerwa zvinoitwa nemunhu wemaricho”; kureva, makore matatu akakwana.

ChiHeb., “kwevanakomana vaIsraeri.”

ChiHeb., “mafuta enyama yake.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Ichi ndicho chimusoro chezvirimwa zvakadai sezviyo, chinochekwa panokohwewa.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “inoyevedza.”

Kana kuti “yamwari wekune imwe nyika.”

Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.

Kana kuti “rwakasimba, rwunotsika-tsika.”

Kana kuti “sebango rechiratidzo rakasimudzwa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ndiri panzvimbo.”

Kana kuti “rwakasimba, rwunotsika-tsika.”

Ichi chirimwa chakabvira makare kare chichirimwa. Tambo dzinobviswa pachiri dzaishandiswa kugadzira machira.

Kana kuti “vachava nemweya inoshungurudzika.”

Kana kuti “eMemfisi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “bazi remuchindwe kana tsanga.”

Kana kuti “mutungamiriri weuto.”

Kana kuti “asina kunyatsopfeka.”

Kana kuti “izvo zvichanyadzisa Ijipiti.”

Kana kuti “iyo ine runako rwavaiyemura.”

Zvinogona kunge zvichireva nharaunda yekare yeBhabhironia.

ChiHeb., “hudyu dzangu dzizere nemarwadzo.”

Kana kuti “isai mafuta panhoo.”

Iyi inzvimbo yakakwirira inoshandiswa kuona zviri kure.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva kuti “Kunyarara.”

Kana kuti “iro rinoverengwa pachinyatsotevedzerwa zvinoitwa nemunhu wemaricho”; kureva, gore rakakwana.

Zvinoratidza sekuti Jerusarema ndiro riri kutaurwa.

Uku kudetemba uchitaura chimwe chinhu seuri kureva munhu, zvichida pachiratidza kunzwira tsitsi kana kuti tsiye nyoro.

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Kana kuti “yabvisa nhoo mainochengeterwa.”

Kana kuti “vatasvi vemabhiza vachamira panzvimbo dzavo.”

Kana kuti “chinodzivirira.”

Kana kuti “nezvemuzinda wacho.”

ChiHeb., “pekugara.”

ChiHeb., “uremu.”

Kana kuti “nenhungirwa dzake.”

ChiHeb., “Mbeu.”

Kureva, “rwizi rwunobuda muRwizi rwaNire.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “vakadzi vechidiki.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “chiteshi ngarava.”

Kana kuti “panyika.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “iri kuoma.”

Kana kuti “sungano yekare.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “iri kupera.”

Kana kuti “kumavirira.”

Kana kuti “kumabvazuva.”

Kana kuti “ngaashongedzwe.”

ChiHeb., “pamberi pevakuru vake.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “ewaini yakasiyiwa iri mumasese.”

ChiHeb., “achamedza.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “vaya vasingachinji pfungwa dzavo.”

“Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Kana kuti “yakati chechetere.”

Kana kuti “Mweya.”

Kureva kuti Mwari nezita rake zviyeukwe uye zviziviswe.

Kana kuti “inoitwa zvakatwasuka.”

ChiHeb., “Chitunha changu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “sedova remakwenzi (retumiti twemimaro).”

Kana kuti “ichabereka vaya vasina simba vari murufu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Zvinoratidza sekuti Israeri ndiyo iri kurehwa pano, ichitaurwa semukadzi uye ichifananidzwa nemunda wemizambiringa.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva, Yufratesi.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Zvinoratidza sekuti pari kureva Samariya, guta guru.

Kana kuti “yekuzvitutumadza; yekuzvikudza.”

Kana kuti “dzekuzvitutumadza; dzekuzvikudza.”

Kana kuti “Tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa, tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa.”

Kana kuti “Tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa, tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa.”

Kana kuti “neSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Tambo iyi yaishandiswa kuvaka mudhuri wakatwasuka.

Kana kuti “neSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Pavanonzwisisa, vachatya kusvika pekupedzisira.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “anomuranga nenzira.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “chinangwa chinoshamisa.”

Kana kuti “Uye ane uchenjeri hwakadzama.”

Zvinogona kunge zvichireva kuti, “Choto cheAtari yaMwari,” zvimwe pachirehwa Jerusarema.

ChiHeb., “revanhu vausingazivi.”

Kana kuti “mweya wake uine nzara.”

Kana kuti “mweya wake uine nyota.”

Kana kuti “mazano avo.”

Kana kuti “Pfungwa dzenyu dzakarasika zvisingaiti!”

ChiHeb., “uya ari kutsiura.”

Kureva, kuchenuruka nemhaka yekunyadziswa uye kuodzwa mwoyo.

ChiHeb., “Vanodira chinwiwa semupiro,” zvinoratidza sekuti izvi zvinoreva kuita chibvumirano.

Kana kuti “vasina kubvunza muromo wangu.”

ChiHeb., “munhare yaFarao.”

Kana kuti “nenyoka inomhanya ine uturu.”

Kana kuti “murayiro.”

ChiHeb., “zvinotsvedzerera.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mumugodhi.”

Kana kuti “ari kuramba achitarisira.”

Kana kuti “vachimumirira nemwoyo wese.”

Kana kuti “zvesimbi yakanyungudutswa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “uye muchazviti itsvina.”

ChiHeb., “zvakakora uye zviine mafuta.”

Kana kuti “pakatyoka.”

Kana kuti “Mweya wake wekufema.”

ChiHeb., “musefa yezvinhu zvisina maturo.”

Kana kuti “Pamunozvitsvenesa kuti muite.”

Kana kuti “Anofamba achitevedzera kurira kwenyere.”

Pano “Tofeti” iri kufananidzira nzvimbo yekupisira zvinhu, zvichireva kuparadza.

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza nekuti vane.”

Kana kuti “shumba yava nezenze.”

Kana kuti “moto uri.”

Kana kuti “yekupotera pamvura.”

Kana kuti “riite zvisina rukudzo.”

Kana kuti “mweya wemunhu.”

Kana kuti “simba redu.”

ChiHeb., “anodzikamisa zvinhu panguva yako.”

Pari kureva muvengi.

Dzimwe shanduro dzinoti, “iri kuoma.”

Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “uchafungisisa.”

ChiHeb., “wakadzama.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Zvinoratidza sekuti pari kureva Bhozra, guta guru reEdhomu.

ChiHeb., “nematombo.”

Izvi zvakaita semasora uye zvine minzwa.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Dhimoni rakaita sembudzi richashevedza rimwe raro.”

ChiHeb., “rwaigova kwazviri ruchishandisa tambo yekuyeresa.”

Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Kana kuti “mukuru wevadiri.”

Kana kuti “pamuzinda.”

Kana kuti “wechiSiriya.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “pamuzinda.”

Kana kuti “pamuzinda.”

Kana kuti “rekutsiurwa.”

ChiHeb., “vana vasvika pamuromo wechibereko.”

ChiHeb., “mweya wandiri kuisa maari.”

ChiHeb., “akaibhedhenura.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”

Kana kuti “migero yeNire kuIjipiti.”

ChiHeb., “zvakaitwa.”

Kana kuti “Ndakazviumba.”

Kureva, Hezekiya.

Kana kuti “zvinomera kubva pambeu inenge yadonhera pasi.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “mutemberi.”

ChiHeb., “pamazuva ako.”

Masitepisi aya anogona kunge aishandiswa kuona pava nenguva uchitarisa panenge pava nemumvuri.

Kana kuti “eSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

“Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Kana kuti “semherepere.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “sehoriori.”

ChiHeb., “Ivai chibatiso changu.”

Kana kuti “ndakanyarara.”

Kana kuti “kwemweya wangu.”

Kureva, mashoko aMwari nemabasa ake.

Kana kuti “makada mweya wangu.”

Kana kuti “Makabvisa zvivi zvangu zvese pamberi penyu.”

ChiHeb., “akavafarira.”

Kana kuti “mumuzinda wake.”

Kana kuti “mumuzinda.”

Kana kuti “mumuzinda.”

Kana kuti “mumuzinda.”

Kana kuti “nechokwadi.”

ChiHeb., “pamazuva angu.”

Kana kuti “Taurai zvinonyaradza Jerusarema.”

Kana kuti “zvakapetwa kaviri pazvivi.”

Kana kuti “Gadzirai.”

Kana kuti “Rudo rwavo rwese rusingachinji rwakaita.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “Achafudza.”

Upamhi hwechanza kana chakatambanudzwa, kubva panoperera chigunwe chikuru kusvika panoperera chigunwe chidiki. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Dzimwe shanduro dzinoti, “akanzwisisa.”

Kana kuti “haina huni dzinokwana.”

Kana kuti “mufananidzo wesimbi yakanyungudutswa.”

Kana kuti “penyika yakaita bhora.”

Kana kuti “vanotonga nyaya panyika.”

Kana kuti “kunzwisiswa.”

Kana kuti “Rambai makanyarara pamberi pangu.”

Kureva kuti auye kuzomushumira.

ChiHeb., “Mbeu.”

Kureva kuti asingagoni kuzvidzivirira uye akaderera.

ChiHeb., “zvekutanga.”

Kana kuti “tiise mwoyo yedu pazviri.”

Kana kuti “vatevedzeri vevatongi.”

Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

Kana kuti “akafarirwa nemweya wangu.”

Kana kuti “murayiro.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Hapana wandinogovana naye kukudzwa kwangu.”

Kana kuti “nyika dzepamhenderekedzo yegungwa.”

Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

Kana kuti “murayiro.”

Kana kuti “murayiro.”

Kana kuti “pemweya wako.”

ChiHeb., “mbeu.”

Zvichida pari kureva kuti zvinhu zvichatanga kuuya mune ramangwana.

Kana kuti “muvimbe neni.”

Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Kana kuti “mabasa ako ekupanduka.”

Zvichida pari kureva vadzidzisi veMutemo.

Kana kuti “pawakaberekwa.”

Kureva kuti “Uya Akarurama,” zita rekuremekedza raIsraeri.

Kana kuti “panyika ine nyota.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kureva, mifananidzo.

Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

Kana kuti “munzvimbo inoyera.”

Kana kuti “chidimbu chakaoma chemuti.”

Kana kuti “kuponesa mweya wake.”

Kana kuti “zvevaprofita venhema.”

ChiHeb., “Kuti ndisunungure hudyu dzemadzimambo.”

Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

ChiHeb., “Ndichanyatsokusunga.”

Kana kuti “anoitisana nharo.”

Kana kuti “neakamuumba.”

Ichi chimedu chemudziyo wevhu unenge waputsika.

Kana kuti “kune akarigadzira.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Kana kuti ivhu ringati here: ‘Chawaumba hachina mibato’?”

Kana kuti “Muri kurwadziwa nekusunungukei?”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vashandi veIjipiti.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “nevatengesi veItiopiya.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti igare isina chinhu.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “asi hamuzobudiriri.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kureva, zvidhori zvakatakudzwa pamhuka.

Kana kuti “mweya yavo inotapwawo.”

ChiHeb., “vanomukotamira.”

ChiHeb., “zvinhu zvekutanga.”

Kana kuti “Chinangwa changu chichamira.”

Kana kuti “achazadzisa chinangwa changu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “uye hapana wandichasangana naye mune zvakanaka.”

Kana kuti “Mambokadzi.”

Kana kuti “Mambokadzi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Pasinei neuroyi.”

Kana kuti “Uye uchashaya kuti woridzinga sei nemashiripiti.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vaya vanopatsanura denga; Vazivi venyeredzi.”

Kana kuti “kuponesa mweya yavo.”

ChiHeb., “kunharaunda yake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “makabva kuna Judha.”

ChiHeb., “zvekutanga.”

Kana kuti “idzira.”

Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

Kana kuti “ndakakuongorora.” Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndakakusarudza.”

Kana kuti “Hapana wandinogovana naye kukudzwa kwangu.”

Kana kuti “kuti zvikunakire.”

ChiHeb., “Mbeu.”

ChiHeb., “ndiri muchibereko.”

Kana kuti “Jehovha achandiitira zvakarurama.”

Kana kuti “mubayiro.”

Kana kuti “ane mweya unozvidzwa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “pazvikomo zvisina chinhu.”

Kana kuti “bango rangu rechiratidzo.”

ChiHeb., “vari pachipfuva.”

ChiHeb., “nyama yese.”

Kana kuti “rwakanyatsodzidziswa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “masimbisiro.”

ChiHeb., “neshoko.”

Kana kuti “vakadzura ndebvu.”

Kana kuti “angakwikwidzana neni.”

Kana kuti “Ngatitarisane.”

Aka kachipembenene kanodya machira.

Kana kuti “avimbe naMwari.”

Kana kuti “akakuunzai nemarwadzo ekusununguka.”

Kana kuti “simba rangu.”

Aka kachipembenene kakaita seumhutu.

Kana kuti “hakuzopwanyiwi.”

Kana kuti “murayiro.”

Aka kachipembenene kanodya machira.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Honye ichavadya.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “uchava mumisoro yavo.”

Kana kuti “dzeuya aikukomberedza.”

Kana kuti “kumweya wako.”

Kana kuti “kukunda kwaMwari.”

Kana kuti “achashaya neremuromo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “zvatakanzwa?”

“Pake” anogona kunge achireva chero mumwe munhu anenge achiona, kana kuti Mwari.

Kana kuti “hapana chinoshamisa pachimiro chake zvekuti tingamuda.”

Kana kuti “akaitirwa marwadzo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Akanga akaita semunhu anopirwa makotsi nevanhu.”

ChiHeb., “yekudzvinyirirwa uye kutongwa.”

Kana kuti “nezvemararamiro ake?”

Kana kuti “Akarohwa akafa.”

Kana kuti “Paachafa pane achamupa nzvimbo yekuti avigwe.”

ChiHeb., “nemupfumi.”

Kana kuti “mhirizhonga yaakanga.”

Kana kuti “akafarira.”

Kana kuti “mweya wake.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “kuda kwaJehovha kuchabudirira; zvakanaka zvinofadza Jehovha zvichabudirira.”

Kana kuti “yekunetseka kwemweya wake.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “vana.”

Kana kuti “ana tenzi.”

Kana kuti “satenzi.”

ChiHeb., “ane mweya wakarwadziswa.”

Kana kuti “nematombo akaita semoto.”

Kana kuti “Vana.”

Kana kuti “rwevana.”

Kana kuti “mari yamunoshandira zvakaoma.”

Kana kuti “mweya yenyu ichafadzwa.”

ChiHeb., “zvine mafuta.”

Kana kuti “rwakavimbika.”

Kana kuti “achamuregerera zvizere.”

Kana kuti “kuda kwangu.”

Kureva kuti vari kufa.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mudambudziko.”

Kureva, muguva.

Kana kuti “munzizi.”

Kana kuti “emurwizi.”

Kana kuti “Ndingazvinyaradza.”

Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Panogona kunge pachireva kunamata zvidhori.

Dzimwe shanduro dzinoti, “mambo.”

Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “ndichivanza zvinhu?”

Kana kuti “ndichamupa mubhadharo wekumunyaradza.”

Kana kuti “patinorwadzisa mweya yedu?”

Kana kuti “zvamunofarira.”

Kana kuti “arwadzise mweya wake.”

Kana kuti “zvinodiwa nemweya wako.”

Kana kuti “mweya inotambudzika.”

Kana kuti “achagutsa mweya wako.”

ChiHeb., “ukadzosa tsoka yako kuti isaita.”

Kana kuti “zvaunofarira.”

Kana kuti “ufadzwe nenhaka.”

Kana kuti “nezvinhu zvenhando.”

Kana kuti “kuvimbika kwagumburwa.”

Kana kuti “Kuvimbika kwanyangarika.”

ChiHeb., “uye zvakanga zvakaipa mumaziso ake.”

Kana kuti “kuti akunde.”

Kana kuti “yekukunda.”

Kana kuti “nenguo isina maoko.”

ChiHeb., “membeu yako.”

ChiHeb., “membeu yembeu yako.”

Kana kuti “kupenya kwemambakwedza ako.”

ChiHeb., “achakufukidza.”

Kana kuti “yerunako.”

Kana kuti “kumaburi ari pachirugu cheshiri?”

Kana kuti “achakunakisa.”

Kana kuti “nekukufarira kwangu.”

Kana kuti “renyasha dzaJehovha.”

Kana kuti “awedzere kunaka kwake.”

Kana kuti “nepfuma yawo.”

ChiHeb., “Mbeu.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “Mweya wangu uchapembera.”

Kana kuti “nenguo isina maoko.”

Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.

Kana kuti “bango rechiratidzo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “dzine utsvuku hwakajeka.”

Kana kuti “rwakaita kuti ndikunde.”

Kana kuti “vasingazonyengeri.”

Kana kuti “ngirozi yepamberi pake.”

Kana kuti “nemumvura yakadzika.”

Kana kuti “riri murenje?”

Kana kuti “rinake.”

Kana kuti “nekunaka.”

ChiHeb., “Kunetseka kwenhengo dzenyu dzemukati.”

Kana kuti “munoitirei kuti tidzungaire.”

ChiHeb., “muchiita kuti mwoyo yedu iome.”

Kana kuti “vanomumirira nemwoyo murefu.”

ChiHeb., “tinyunguduke.”

ChiHeb., “neruoko rwekukanganisa.”

Kana kuti “ndimi makatisika.”

Kana kuti “Temberi.”

Kana kuti “nerunako.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mutuimba twekurindira.”

Kana kuti “zvakasviba.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Nekuti ndingazokupa utsvene hwangu.”

ChiHeb., “Ndichaisa chirango muchipfuva chavo.”

ChiHeb., “ndichiuisa muchipfuva chavo.”

ChiHeb., “chikomborero.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “wekutendeka.” ChiHeb., “weAmeni.”

Kana kuti “wekutendeka.” ChiHeb., “weAmeni.”

Kana kuti “hazvizoyeukwi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Uye asingazosvitsi makore zana achanzi akatukwa.”

Kana kuti “nesimba.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “anogara achifunga nezveshoko.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “seuya ari kurumbidza chidhori.”

Kana kuti “mweya yavo inofarira.”

Kana kuti “munogara muchifunga nezveshoko.”

Kana kuti “simba raJehovha richazivikanwa.”

Kureva, minda yaishandiswa pakunamata zvidhori.

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “kuzonamata.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe