RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Rwiyo rwaSoromoni 1:1-8:14
  • Rwiyo rwaSoromoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwiyo rwaSoromoni
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Rwiyo rwaSoromoni

RWIYO RWASOROMONI

1 Rwiyo rwaSoromoni, rwakanaka kukunda dzimwe dzese:+

 2 “Ngaanditsvode nekutsvoda kwemuromo wake,

Nekuti kuratidza kwaunoita rudo rwako kunopfuura waini.+

 3 Kunhuhwirira kwemafuta ako kwakanaka.+

Zita rako rakaita semafuta anonhuhwirira adururwa.+

Ndokusaka vasikana vachikuda.

 4 Nditore* tiende tese; ngatimhanyei.

Mambo andipinza mudzimba dzake dzemukati!

Ngatifarei, tichinakidzwa tese.

Ngatirumbidzei* kuratidza kwaunoita rudo rwako kupfuura zvatinoita waini.

Ndokusaka vachikuda.*

 5 Imi vanasikana veJerusarema, ndiri mutema zvangu, asi ndakanaka,

Sematende eKedhari,+ semachira ematende+ aSoromoni.

 6 Musaramba makanditarisa nekuti ndakasviba,

Nekuti zuva rakandipisa.

Vanakomana vaamai vangu vakanditsamwira;

Vakandiita muchengeti weminda yemizambiringa,

Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.

 7 Nhai chido chemwoyo wangu,* ndiudze,

Kwaunofudzira makwai ako,+

Kwaunoararisa masikati.

Nei ndichifanira kuita semukadzi akazvifukidza nejira*

Pakati pemakwai evamwe vako?”

 8 “Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka chaizvo kupfuura vamwe vese,

Enda uchitevera mafamba nezvipfuwo,

Ufudzire mbudzana dzako pedyo nematende evafudzi.”

 9 “Iwe mudiwa wangu, ndinokufananidza nebhiza gadzi* riri pangoro dzaFarao.+

10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nezvishongo,*

Mutsipa wako wakashongedzwa nechuma.

11 Tichakugadzirira zvishongo* zvegoridhe

Zvakashongedzwa nesirivha.”

12 “Mambo paanenge akagara patafura yake yeraundi,

Mafuta angu*+ anoramba achibudisa kunhuhwirira kwawo.

13 Mudiwa wangu akaita sehomwe inonhuhwirira yemura+

Ari pakati pemazamu angu usiku hwese.

14 Kwandiri mudiwa wangu akaita sesumbu remaruva ehena+

Riri pakati peminda yemizambiringa yekuEni-gedhi.”+

15 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu!

Wakazonaka! Maziso ako akafanana neenjiva.”+

16 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu, uye unofadza!+

Mubhedha wedu uri pakati pemashizha.

17 Mapango emba yedu* misidhari,

Mbariro dzedenga remba mijunipa.

2 “Ndinongovawo zvangu ruva resafuroni remubani remumhenderekedzo yegungwa,

Ruva remumapani.”+

 2 “Seruva riri pakati peminzwa

Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pevanasikana.”

 3 “Semuti wemuapuro uri pakati pemiti yemusango,

Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pevanakomana.

Ndinoda chaizvo kugara mumumvuri wake,

Uye muchero wake unotapira mukanwa mangu.

 4 Akandiunza muimba yemabiko,*

Uye rudo rwake rwakanga rwakaita semureza pamusoro pangu.

 5 Ndigutse nemakeke emazambiringa akaomeswa;+

Ndisimbise nemaapuro,

Nekuti ndiri kurwara nerudo.

 6 Ruoko rwake rweruboshwe ruri pasi pemusoro wangu,

Uye ruoko rwake rwerudyi rwakandimbundira.+

 7 Ndinoita kuti mupike, imi vanasikana veJerusarema,

Nemhara+ uye nenondo dzemusango:

Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.+

 8 Ndiri kunzwa mudiwa wangu!

Uyo! Ari kuuya,

Achikwira makomo, achisvetuka zvikomo.

 9 Mudiwa wangu akaita semhara, akaita senondo diki.+

Uyo ari apo, akamira kuseri kwemadziro edu,

Achitarisa nepamahwindo,

Achidongorera nepamahwindo emaburi maburi.

10 Mudiwa wangu anotaura, anoti kwandiri:

‘Simuka, iwe mudiwa wangu,

Tsvarakadenga yangu, ngatiende tese.

11 Ona! Mwaka wechando* wapfuura.

Hakusisina mvura, yaenda.

12 Maruva ava kuoneka panyika,+

Nguva yekuchekerera miti yasvika,+

Uye rwiyo rwenjiva rwava kunzwika munyika yedu.+

13 Muonde wava kuibvisa maonde awo ekutanga;+

Mizambiringa yava nemaruva uye yava kunhuhwirira.

Simuka, mudiwa wangu, uuye.

Tsvarakadenga yangu, ngatiende tese.

14 Iwe njiva yangu yakazororera pakati pematombo,+

Iri munzvimbo yekuhwanda mumawere,

Rega ndikuone, ndinzwe inzwi rako,+

Nekuti inzwi rako rinofadza uye chimiro chako chakanaka.’”+

15 “Tibatire makava,

Makava madiki anoparadza minda yemizambiringa,

Nekuti minda yedu yemizambiringa yava nemaruva.”

16 “Mudiwa wangu ndewangu uye ini ndiri wake.+

Ari kufudza makwai+ ari pakati pemaruva.+

17 Kusvikira kwava kufefetera uye mimvuri yava kutiza,

Dzoka nekukurumidza, iwe mudiwa wangu,

Semhara+ kana kuti senondo diki hono+ iri pamakomo ekuparadzana.*

3 “Ndiri pamubhedha wangu usiku,

Ndakatsvaga mudiwa wangu.*+

Ndakamutsvaga, asi handina kumuwana.+

 2 Ndichasimuka ndotenderera neguta;

Regai nditsvage mudiwa wangu*

Mumigwagwa nemumisika.

Ndakamutsvaga, asi handina kumuwana.

 3 Varindi vaitenderera muguta vakandiwana.+

‘Mamboonawo mudiwa wangu* here?’

 4 Ndisati ndatombopfuudzana navo

Ndakabva ndawana mudiwa wangu.*

Ndakamubata, ndikasamuregedza

Kusvikira ndapinda naye mumba maamai vangu,+

Muimba yemukati yaivo vakandibereka.

 5 Ndinoita kuti mupike, imi vanasikana veJerusarema,

Nemhara uye nenondo dzemusango:

Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.”+

 6 “Chii icho chakaita seutsi huri kukwira mudenga chiri kubva kurenje,

Chiri kunhuhwirira mura nezvinonhuhwirira zvichena,

Nezvinonhuhwirira zvese zvemutengesi zvakakuyiwa?”+

 7 “Onai! Chigaro chaSoromoni.

Chakakomberedzwa nevarume 60 vane simba,

Vanobva pavarume vaIsraeri vane simba,+

 8 Vese vaine mapakatwa,

Vese vakadzidziswa hondo,

Mumwe nemumwe akapakatira bakatwa

Kuti vagarire kana paine zvinotyisa zvingauya usiku.”

 9 “Ichi chigaro chaMambo Soromoni chinotakurwa*

Chaakazvigadzirira nemiti yekuRebhanoni.+

10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,

Uye zvinochitsigira ndezvegoridhe.

Pekugara pacho pakagadzirwa neshinda yepepuru;

Mukati macho makashongedzwa zvakanaka

Nevanasikana veJerusarema.”

11 “Budai, imi vanasikana veZiyoni,

Onai Mambo Soromoni

Akapfeka korona yake yemuchato yaakagadzirirwa naamai vake+

Musi waakaroora,

Musi wakafara mwoyo wake.”

4 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu!

Wakazonaka!

Maziso ako akaita seenjiva paanooneka kuseri kwejira rakafukidza kumeso kwako.

Bvudzi rako rakaita seboka rembudzi

Dzakaita mudungwe dzichidzika nemakomo eGiriyedhi.+

 2 Mazino ako akaita seboka remakwai achangobva kuveurwa

Abva kunogezwa,

Ese aine vana vaviri vaviri,

Uye pasina kana rakarasikirwa nevana varo.

 3 Muromo wako wakaita seshinda tsvuku,

Uye matauriro ako anofadza.

Sepomegraneti* ratsemurwa nepakati

Ndizvo zvakaita matama ako akavharwa nejira.

 4 Mutsipa wako+ wakaita seshongwe yaDhavhidhi,+

Yakavakwa nematombo akaturikidzana,

Panoturikwa nhoo dzine chiuru,

Nhoo dzese dzeraundi dzevarume vane simba.+

 5 Mazamu ako maviri akaita setsvana mbiri dzemhara,

Vana vemhara vanoberekwa panguva imwe chete,+

Vanofura pakati pemaruva.”

 6 “Kusvikira kwava kufefetera uye mimvuri yava kutiza,

Ndichaenda kugomo remura

Uye kuchikomo chezvinonhuhwirira zvichena.”+

 7 “Zvese zviri pauri zvakanaka, mudiwa wangu,+

Hauna panoshoreka.

 8 Ngatibvei tese muRebhanoni, mwenga wangu,

Ngatibvei tese muRebhanoni.+

Dzika uchibva pamusoro peAmana,

Pamusoro peSeniri, pamusoro peHemoni,+

Panzvimbo dzinogara shumba, pamakomo eingwe.

 9 Wanditora mwoyo,+ hanzvadzi yangu, mwenga wangu,

Wanditora mwoyo nekungonditarisa kamwe chete nemaziso ako,

Nekungotarisa kwandaita chuma chimwe chete pachishongo chako chemuhuro.

10 Kuratidza kwako rudo kwakazonaka,+ hanzvadzi yangu, mwenga wangu!

Kuratidza kwako rudo kunopfuura waini,+

Uye kunhuhwirira kwemafuta ako kunopfuura chero chii zvacho chinonhuhwirira!+

11 Mwenga wangu, miromo yako inodonha uchi hwemumazinga.+

Uchi nemukaka zviri pasi perurimi rwako,+

Uye kunhuhwirira kwezvipfeko zvako kwakafanana nekunhuhwirira kweRebhanoni.

12 Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, akaita semunda wakakiyiwa,

Munda wakakiyiwa, chitubu chakanamwa.

13 Nhungirwa dzako* iparadhiso yemipomegraneti,*

Ine michero yakanakisisa, nemihena pamwe chete neminadhi,

14 Nadhi+ nesafuroni, karamusi*+ uye sinamoni,+

Pamwe chete nemiti yese yezvinonhuhwirira zvichena, mura nearosi,+

Uye zvinonhuhwirira zvese zvakanaka kwazvo.+

15 Uri chitubu chemubindu, tsime remvura yakachena,

Uye hova dzinoyerera dzinobva kuRebhanoni.+

16 Muka, iwe mhepo yekuchamhembe;

Pinda, iwe mhepo yekumaodzanyemba.

Fefetera mubindu rangu.

Kunhuhwirira kwaro ngakupararire.”

“Mudiwa wangu ngaapinde mubindu rake,

Adye michero yaro yakanakisisa.”

5 “Ndapinda mumunda mangu,+

Hanzvadzi yangu, mwenga wangu.

Ndatemha mura yangu nezvinonhuhwirira zvangu.+

Ndadya zinga rangu reuchi neuchi hwangu;

Ndanwa waini yangu nemukaka wangu.”+

“Idyai, shamwari dzangu!

Inwai mudhakwe nekuratidzana rudo kwamuri kuita!”+

 2 “Ndakarara, asi mwoyo wangu wakamuka.+

Ndiri kunzwa mudiwa wangu achigogodza!”

‘Ndivhurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu,

Njiva yangu, asina panoshoreka!

Nekuti musoro wangu wakatota nedova,

Bvudzi rangu rakatota nemvura inodonha usiku.’+

 3 Ndabvisa nguo yangu.

Ndoipfekazve here?

Ndageza tsoka dzangu.

Ndodzisvibisazve here?

 4 Mudiwa wangu akabvisa ruoko rwake paburi resuo,

Ndikatanga kunzwa kumuda.

 5 Ndakamuka kuti ndivhurire mudiwa wangu;

Maoko angu aidonha mura,

Uye minwe yangu yaidonha mura yakaita mvura mvura,

Ndikabata chekuvhurisa suo.

 6 Ndakavhurira mudiwa wangu,

Asi mudiwa wangu akanga atoenda, asisipo.

Ndakapera simba* paakaenda.*

Ndakamutsvaga, asi handina kumuwana.+

Ndakamushevedza, asi haana kundipindura.

 7 Varindi vaitenderera muguta vakandiwana.

Vakandirova, vakandikuvadza.

Varindi vemasvingo vakanditorera chari yangu.*

 8 Ndinoita kuti mupike imi vanasikana veJerusarema:

Kana mukaona mudiwa wangu,

Muudzei kuti ndiri kurwara nerudo.”

 9 “Mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa pakudii,

Nhai iwe mukadzi akanaka kupfuura vamwe vese?

Mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa pakudii,

Zvekuti ungaita kuti tipike mhiko yakadai?”

10 “Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku;

Anopfuura vane zviuru gumi.

11 Musoro wake igoridhe, goridhe rakanatswa.

Bvudzi rake rakaita semashizha emichindwe ari kuzununguswa,*

Idema segunguo.

12 Maziso ake akaita senjiva dziri pedyo nehova dzemvura,

Dziri kugeza mumukaka,

Dzakagara pedyo nedziva riri kufashukira.*

13 Matama ake akaita semuhomba wezvinonhuhwirira,+

Semihomba yakakwirira yemakwenzi anonhuhwirira.

Miromo yake yakaita semaruva, ichidonha mura yakaita mvura mvura.+

14 Maoko ake akaita sepombi dzegoridhe, dzakaiswa dombo rekrisoriti.

Dumbu rake rakaita serakagadzirwa nenyanga dzenzou dzakakwenenzverwa dzikaiswa matombo esafaya pamusoro.

15 Makumbo ake akaita sembiru dzedombo remabhura dzakaiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa.

Chimiro chake chakaita seRebhanoni, semisidhari, zvekuti hapana anomupfuura.+

16 Muromo wake* kutapira kwega kwega,

Uye zvese zvaari zvakanaka.+

Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye wandinoda, imi vanasikana veJerusarema.”

6 “Mudiwa wako aenda kupi,

Iwe mukadzi akanakisisa?

Mudiwa wako aenda nekupi?

Rega tikubatsire kumutsvaga.”

 2 “Mudiwa wangu aenda kubindu rake,

Kumihomba yezvinonhuhwirira,

Kuti anofudzira zvipfuwo mumapindu,

Achitemha maruva.+

 3 Ini ndiri wemudiwa wangu,

Uye mudiwa wangu ndewangu.+

Ari kufudza makwai ari pakati pemaruva.”+

 4 “Wakanaka seTiza,*+ mudiwa wangu,+

Wakanaka seJerusarema,+

Unoyevedza semauto akatenderedza mireza yawo.+

 5 Bvisa maziso+ ako pandiri,

Nekuti ari kuvhiringa mwoyo wangu.

Bvudzi rako rakaita seboka rembudzi

Dzakaita mudungwe mumateru eGiriyedhi.+

 6 Mazino ako akaita seboka remakwai

Abva kunogezwa,

Ese aine vana vaviri vaviri,

Uye pasina kana rakarasikirwa nevana varo.

 7 Sepomegraneti* ratsemurwa nepakati

Ndizvo zvakaita matama ako akavharwa nejira.

 8 Pangava navanamambokadzi 60

Nevarongo* 80

Nevasikana vasingaverengeki.+

 9 Asi mumwe chete ndiye njiva yangu,+ wangu asina panoshoreka.

Ndiye ega waamai vake.

Ndiye wepamwoyo waivo* vakamubereka.

Vanasikana vanomuona, vomuti anofara;

Vanamambokadzi nevarongo, vomurumbidza.

10 ‘Ndiani uyu anopenya* semambakwedza,

Akanaka sejenaguru,

Akachena sekupenya kwezuva,

Anoyevedza semauto akapoteredza mireza?’”+

11 “Ndakadzika kumunda wemiti yeminzungu,+

Kunoona nhungirwa dzepamiti yemubani,

Kunoona kana mizambiringa yakanga yatungira,

Kana mipomegraneti yakanga yatumbuka.

12 Ndisati ndatombozviziva,

Chido changu chakanga chandiisa*

Mungoro dzevanhu vekwangu vanokudzwa.”*

13 “Dzoka, dzoka, iwe muShurami!

Dzoka, dzoka,

Kuti tikutarise!”

“Muri kuyeveiko pamuShurami?”+

“Akaita sezvikwata zviviri zvevanhu vari kutamba!”*

7 “Tsoka dzako dzakanaka chaizvo dziri mushangu dzako,

Iwe mwanasikana anoremekedzwa!

Zvidya zvako zvakaumbika sezvishongo,

Basa remaoko emhizha.

 2 Guvhu rako rakaita sendiro yeraundi.

Waini yakasanganiswa ngairege kushayikwa pariri.

Dumbu rako rakaita semurwi wegorosi,

Wakatenderedzwa nemaruva.

 3 Mazamu ako maviri akaita setsvana mbiri dzemhara,

Vana vemhara vanoberekwa panguva imwe chete.+

 4 Mutsipa wako+ wakaita seshongwe yenyanga dzenzou.+

Maziso ako+ akaita semadziva ari muHeshbhoni,+

Ari pedyo negedhi reBhati-rabhimu.

Mhino yako yakaita seshongwe yekuRebhanoni,

Yakatarisa kuDhamasiko.

 5 Musoro wako unokushongedza korona seKameri,+

Uye bvudzi rako rakaita*+ seshinda yepepuru.+

Mambo anotorwa mwoyo nekuyerera kwarinoita.

 6 Wakanaka chaizvo, uye unofadza,

Iwe musikana anodiwa, kupfuura zvinhu zvese zvinofadza kwazvo!

 7 Chimiro chako chakaita semuchindwe,

Uye mazamu ako akaita semasumbu emichero yemichindwe.+

 8 Ndakati, ‘Ndichakwira mumuchindwe

Kuti ndibate mapazi awo ane michero.’

Mazamu ako ngaaite semasumbu emazambiringa,

Kufema kwako ngakunhuhwirire semaapuro,

 9 Uye muromo wako* sewaini yakanaka kwazvo.”

“Ngaidzike ichitsvedzerera nekuda kwemudiwa wangu,

Ichiyerera zvinyoronyoro pamiromo yevakarara.

10 Ndiri wemudiwa wangu,+

Uye iye anondirwarira.

11 Uya, iwe mudiwa wangu,

Handei kumasango;

Ngatigarei pakati pemihena.+

12 Ngatimukirei tiende kuminda yemizambiringa,

Tinoona kana mizambiringa yakatungira,

Kana maruva akatumbuka,+

Kana mipomegraneti yava nemaruva.+

Ndichakuratidza kuti ndinokuda sei tiri ikoko.+

13 Mamandireki+ ari kunzwika kunhuhwirira kwawo;

Pamasuo edu pane michero yakasiyana-siyana yakanakisisa.+

Mudiwa wangu, ndakuchengetera

Ichangobva kutemhwa neyakatemhwa kare.

8 “Kudai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu,

Yakayamwa mazamu aamai vangu!

Kudai ndaizokuwana panze, ndaikutsvoda,+

Uye hapana aindishora.

 2 Ndaikutungamirira;

Ndopinda newe mumba maamai vangu,+

Ivo vakandidzidzisa.

Ndokupa waini yakaiswa zvinonhuhwirira kuti unwe,

Iwo muto uchangobva kusvinwa wemapomegraneti.*

 3 Ruoko rwake rweruboshwe runenge ruri pasi pemusoro wangu,

Uye ruoko rwake rwerudyi rwakandimbundira.+

 4 Ndinoita kuti mupike, imi vanasikana veJerusarema:

Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.”+

 5 “Ndiani uyo ari kubva kurenje,

Akazembera mudiwa wake?”

“Ndakakumutsa pasi pemuapuro.

Amai vako vairwadziwa nekukusununguka vari ipapo.

Vaya vakakubereka vairwadziwa vachisununguka vari ipapo.

 6 Ndiise pamwoyo wako sechidhindo,*

Sechidhindo paruoko rwako,

Nekuti rudo rune simba serufu,+

Uye kuzvipira kwakazara hakudzokeri shure seGuva risingadzokeri* shure.

Marimi arwo moto unobvira, iro rimi remoto raJah.*+

 7 Mvura ine masaisai haigoni kudzima rudo,+

Uye nzizi hadzigoni kurukukura.+

Kana munhu akapa pfuma yake yese kuti awane rudo,

Zvingatoshorwa* chaizvo.”

 8 “Tine hanzvadzi diki,+

Isati yava nemazamu.

Tichaitireiko hanzvadzi yedu

Musi waichabvunzirwa?”

 9 “Kana iri rusvingo,

Tichavaka shongwe yesirivha pamusoro payo,

Asi kana iri suo,

Tichaivhara nepuranga remusidhari.”

10 “Ndiri rusvingo,

Uye mazamu angu akaita seshongwe.

Saka ava kundiona

Seuya anowana rugare.

11 Soromoni aiva nemunda wemizambiringa+ muBhaari-hamoni.

Akaisa munda wacho wemizambiringa mumaoko evachengeti.

Mumwe nemumwe aiunza masirivha chiuru ezvibereko zvawo.

12 Ndine munda wangu pachangu wemizambiringa.

Masirivha chiuru ndeako,* iwe Soromoni,

Uye mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.”

13 “Imi munogara muminda,+

Shamwari dziri kuda kunzwa inzwi renyu.

Regai ndirinzwe.”+

14 “Kurumidza, mudiwa wangu,

Umhanye semhara+

Kana kuti senondo diki

Pamakomo ezvinonhuhwirira.”

ChiHeb., “Ndikweve.”

Kana kuti “Ngatirondedzerei.”

Kureva, vasikana.

Kana kuti “anodiwa chaizvo nemweya wangu.”

Kana kuti “nejira rekuchema.”

Kana kuti “nebhiza rangu gadzi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ari pakati pebvudzi rakarukwa.”

Kana kuti “zvishongo zveraundi.”

ChiHeb., “Mafuta angu enadhi.”

Kana kuti “emba yedu yakanaka.”

ChiHeb., “muimba yewaini.”

Kana kuti “wemvura.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “makomo akaparadzana.” Kana kuti “makomo eBhetari.”

Kana kuti “anodiwa nemweya wangu.”

Kana kuti “anodiwa nemweya wangu.”

Kana kuti “anodiwa nemweya wangu.”

Kana kuti “anodiwa nemweya wangu.”

Chigaro chacho, icho chaishandiswa kutakura munhu anoremekedzwa, chakanga chakaita sekamubhedha uye chaifukidzwa.

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Ganda rako.”

Kana kuti “munda wemipomegraneti.”

Kureva, tsanga inonhuhwirira.

Kana kuti “Mweya wangu wakabuda.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mweya wangu wakabuda paakataura.”

Kana kuti “jira rangu rekuzvifukidza.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “semichero yemichindwe.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “nekumucheto kwezvitubu.”

ChiHeb., “Mukanwa make.”

Kana kuti “seGuta Rinofadza.”

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “akachena weavo.”

ChiHeb., “anotarisa pasi.”

Kana kuti “Mweya wangu wakanga wandiisa.”

Kana kuti “vane mwoyo wakanaka.”

Kana kuti “sekutamba kweMahanaimu.”

ChiHeb., “musoro wako wakaita.”

ChiHeb., “mukanwa mako.”

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Kana kuti “sechisimbiso.”

Kana kuti “seSheori isingadzokeri.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “iwo murazvo waJah.” Jah kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Angatoshorwa.”

ChiHeb., “Chiuru ndechako.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe