RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Jobho 1:1-42:17
  • Jobho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jobho
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jobho

JOBHO

1 Kwaiva nemumwe murume ainzi Jobho*+ munyika yeUzi. Aiva murume akarurama uye asina chaanopomerwa;*+ aitya Mwari uye aisiyana nezvakaipa.+ 2 Akabereka vanakomana vanomwe nevanasikana vatatu. 3 Zvipfuwo zvake zvaisvika makwai 7 000, ngamera 3 000, mombe 1 000,* nemadhongi* 500, uye aiva nevaranda vakawanda chaizvo, zvekuti akava munhu akakurumbira pakati pevanhu vese vekuMabvazuva.

4 Mumwe nemumwe wevanakomana vake aiva nezuva raaiita mabiko pamba pake.* Vaikoka hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nekunwa navo. 5 Kana mazuva emabiko acho apera, Jobho aitumira shoko kuti vauye, kuti avatsvenese. Aibva afumomuka, opa zvibayiro zvinopiswa+ achiitira mumwe nemumwe wavo. Nekuti Jobho aiti: “Pamwe vanakomana vangu vakatadza, vakatuka Mwari mumwoyo mavo.” Izvi ndizvo zvaigara zvichiitwa naJobho.+

6 Zuva rakazoti rasvika pakapinda vanakomana vaMwari* wechokwadi+ kuti vamire pamberi paJehovha,+ uye Satani+ akapindawo pakati pavo.+

7 Jehovha akabva ati kuna Satani: “Uri kubva kupi?” Satani akapindura Jehovha achiti: “Kunopota-pota nenyika nekufamba-famba pairi.”+ 8 Uye Jehovha akati kuna Satani: “Waona mushumiri* wangu Jobho here? Hakuna akafanana naye panyika. Murume akarurama uye asina chaanopomerwa,*+ anotya Mwari uye anosiyana nezvakaipa.” 9 Satani akabva apindura Jehovha achiti: “Jobho anotya Mwari pasina here?+ 10 Handiti makamupoteredza neruzhowa*+ pamwe chete nemba yake nezvinhu zvese zvaainazvo? Makakomborera basa remaoko ake,+ uye zvipfuwo zvake zvakaita fararira panyika. 11 Asi chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu murove zvinhu zvese zvaainazvo, uye achakutukai chete, pamberi penyu chaipo.” 12 Jehovha akabva ati kuna Satani: “Ona! Zvinhu zvese zvaainazvo zviri mumaoko ako. Asi usatambanudzira ruoko rwako paari iye pachake!” Saka Satani akabva pamberi paJehovha.+

13 Mumwe musi zvakaitika kuti vanakomana vake nevanasikana vake pavakanga vachidya uye vachinwa waini vari mumba memukoma wavo mukuru,+ 14 nhume yakasvika kuna Jobho ikati: “Mombe dzanga dzichirima, madhongi achifura pedyo nadzo. 15 VaSebhiya vabva vasvika vakarwisa, vakazvitora, vakauraya vashandi nebakatwa. Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.”

16 Achiri kutaura kudaro, mumwe akabva asvika achiti: “Moto waMwari* wabva kudenga, ukapisa makwai nevashandi, ukazviparadza! Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.”

17 Achiri kutaura kudaro, mumwe akabva asvika achiti: “VaKadheya+ varonga zvikwata zvitatu, vakapamba ngamera, vakauraya vashandi nebakatwa. Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.”

18 Achiri kutaura kudaro, mumwezve akabva asvika achiti: “Vanakomana venyu nevanasikana venyu vanga vachidya uye vachinwa waini vari mumba memukoma wavo mukuru. 19 Kwangoerekana kwauya mhepo ine simba ichibva kurenje, ikarova makona mana emba yacho, ikatsitsirira vana vacho, vakafa. Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.”

20 Achinzwa izvi Jobho akasimuka, akabvarura nguo yake, akagera musoro wake; akabva awira pasi, akakotama 21 ndokuti:

“Ndakabuda mudumbu raamai vangu ndisina kupfeka,

Uye ndichadzokera ndisina kupfeka.+

Jehovha akapa,+ uye Jehovha atora.

Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.”

22 Pazvinhu zvese izvi, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva.*

2 Pashure paizvozvo, zuva rakasvika pakapinda vanakomana vaMwari*+ wechokwadi kuti vamire pamberi paJehovha,+ uye Satani akapindawo pakati pavo kuti amire pamberi paJehovha.+

2 Jehovha akabva ati kuna Satani: “Uri kubva kupi?” Satani akapindura Jehovha achiti: “Kunopota-pota nenyika nekufamba-famba pairi.”+ 3 Uye Jehovha akati kuna Satani: “Waona mushumiri* wangu Jobho here? Hakuna akafanana naye panyika. Murume akarurama uye asina chaanopomerwa,*+ anotya Mwari uye anosiyana nezvakaipa. Achakaperera+ kwandiri kunyange zvazvo uchiedza kundikurudzira kuti ndimuparadze+ pasina chikonzero.” 4 Asi Satani akapindura Jehovha achiti: “Ganda rinotsiviwa neganda. Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.* 5 Asi chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, murove pfupa rake nenyama yake, uye achakutukai chete, pamberi penyu chaipo.”+

6 Jehovha akabva ati kuna Satani: “Ona! Ari mumaoko ako! Asi usamuuraya!”* 7 Saka Satani akabva pamberi paJehovha, akanorova Jobho nemamota* anorwadza+ kubvira pasi petsoka kusvikira panhongonya. 8 Uye Jobho akatora chaenga* kuti azvikwenye nacho, uye akanga agere mumadota.+

9 Mudzimai wake akapedzisira ati kwaari: “Uchiri kungoramba wakaperera here? Tuka Mwari ufe!” 10 Asi iye akati kwaari: “Uri kutaura semukadzi anopenga. Tingangogamuchira zvakanaka chete kubva kuna Mwari wechokwadi tisingagamuchiriwo zvakaipa here?”+ Pazvinhu zvese izvi, Jobho haana kutadza nemuromo wake.+

11 Shamwari nhatu dzaJobho dzakanzwa nezvematambudziko ese akanga amuwira, uye mumwe nemumwe akauya achibva kumusha kwake. Dzaiva, Erifazi+ muTemani, Bhiridhadhi+ muShuhi,+ naZofari+ muNaama. Saka vakaronga kuti vasangane, kuti vaende kunochema naJobho nekumunyaradza. 12 Pavakamuona vachiri kure vakatadza kumuziva. Vakatanga kuridza mhere, vachibvarura nguo dzavo, uye vakamwaya guruva mudenga nemumisoro yavo.+ 13 Vakabva vagara pasi naye kwemazuva manomwe neusiku hunomwe. Hapana akamutaudza, nekuti vakaona kuti airwadziwa zvakanyanya.+

3 Pashure peizvi, Jobho akatanga kutaura uye kutuka zuva raakaberekwa.*+ 2 Jobho akati:

 3 “Zuva randakaberekwa ngariparare,+

Neusiku hwakataurwa nemumwe munhu kuti: ‘Pamuviri pemwana mukomana pabata!’

 4 Zuva iroro ngarive rima.

Mwari ari kumusoro ngaarege kufunga nezvaro;

Chiedza ngachirege kurivhenekera.

 5 Rima gobvu* ngariritore.

Gore remvura ngarigare pamusoro paro.

Chese chinosvibisa zuva ngachirivhundutse.

 6 Usiku ihwohwo ngahuve rima gobvu;+

Ngahurege kufara pamazuva egore,

Uye ngahurege kuverengwa pamazuva emwedzi.

 7 Chokwadi! Usiku ihwohwo ngahurege kubereka;

Ngakurege kunzwika kushevedzera kwekufara mahuri.

 8 Vaya vanotuka zuva ngavahutuke,

Vaya vanokwanisa kumutsa Revhiatani.*+

 9 Nyeredzi dzemambakwedza ahwo ngadzisvibe;

Ngahumirire chiedza chezuva chisingauye,

Uye ngahurege kuona mwaranzi yemambakwedza.

10 Nekuti hahuna kuvhara masuo echibereko chaamai vangu;+

Uye hahuna kuita kuti maziso angu asaona kutambudzika.

11 Nei ndisina kufa pandakazvarwa?

Nei ndisina kufa pandakabuda muchibereko?+

12 Nei paiva nemabvi ekundigamuchira

Uye mazamu ekuti ndiyamwe?

13 Nekuti iye zvino ndingadai ndakarara pasina chinondivhiringa;+

Ndingadai ndakarara, ndakazorora+

14 Nemadzimambo enyika nemakurukota awo,

Akazvivakira nzvimbo dzava matongo,*

15 Kana nemachinda aiva negoridhe,

Aiva nedzimba dzakazara nesirivha.

16 Kana kuti nei ndisina kuita sepamuviri panobva pasingazivikanwi,

Sevana vasina kumboona chiedza?

17 Ikoko kunyange vakaipa havachatambudzwi;

Ikoko vanga vakaneta vakazorora.+

18 Ikoko vasungwa vagere zvakanaka pamwe chete;

Havanzwi inzwi reanovamanikidza kushanda.

19 Ikoko vadiki nevakuru vakangofanana,+

Uye muranda anosunungurwa pana tenzi wake.

20 Anopireiko chiedza uya ari kutambudzika

Uye upenyu kune vaya vari kushungurudzika?*+

21 Nei vachishuva rufu asi rusingauyi?+

Vanoruchera kupfuura zvinoitwa pfuma yakavanzwa,

22 Vaya vari kufara chaizvo,

Vanofara pavanowana guva.

23 Anopireiko chiedza murume arasika nzira yake,

Akapoteredzwa neruzhowa* naMwari?+

24 Nekuti kutura befu ndiko kwava zvekudya zvangu,+

Uye kugomera kwangu+ kunodururwa semvura.

25 Nekuti zvandaizeza zvauya pandiri,

Uye zvandaitya zvandiwira.

26 Handina rugare, runyararo, uye zororo,

Asi kutambudzika kuri kuramba kuchingouya.”

4 Erifazi+ muTemani akabva apindura achiti:

 2 “Kana mumwe munhu akaedza kutaura newe, ungatadza kumumirira kusvika apedza here?

Nekuti ndiani angaramba akanyarara asingatauri?

 3 Iwe pachako waidzidzisa vanhu vazhinji,

Uye waiwanzosimbisa maoko asina simba.

 4 Mashoko ako aisimudza munhu wese anenge agumburwa,

Uye waisimbisa vaya vaiva nemabvi aipera simba.

 5 Asi iye zvino zvaitika pauri, iwe wava kupera simba;

Zvakubata, uye wava kunetseka.

 6 Kutya kwako Mwari hakuiti kuti uve nechivimbo here?

Kurarama kwako wakaperera kwaari+ hakukupi tariro here?

 7 Chimbofunga izvi: Munhu upi asina mhosva akamboparara?

Munhu akarurama akamboparadzwa riini?

 8 Zvandakaona ndezvekuti vaya vanorima* zvakaipa

Uye vaya vanodyara matambudziko vachakohwa izvozvo.

 9 Vanoparadzwa nekufema kwaMwari,

Uye vanoparara nekuputika kwehasha dzake.

10 Shumba inodzvova, uye shumba ine simba inohon’a,

Asi kunyange mazino eshumba dzakasimba* anoguka.

11 Shumba inoparara nekushaya mhuka yekubata,

Uye vana veshumba vanopararira.

12 Zvino shoko rakaunzwa kwandiri pachivande,

Uye nzeve yangu yakarinzwa nezevezeve.

13 Ndichinetseka mupfungwa muzviratidzo zveusiku,

Vanhu pavanenge vakafa nehope,

14 Kudedera kunotyisa kwakauya pandiri,

Kukazadza mapfupa angu ese nekutya.

15 Mweya* wakapfuura nepachiso changu;

Mvere dzenyama yangu dzakasimuka.

16 Wakabva wamira,

Asi handina kuziva kuti wakanga wakaita sei.

Chimwe chinhu chakanga chiri pamberi pemaziso angu;

Pakava nerunyararo, ndikabva ndanzwa inzwi richiti:

17 ‘Munhu anofawo zvake angava akarurama kupfuura Mwari here?

Munhu angava akachena kupfuura Muiti wake here?’

18 Iye haatendi muvashumiri vake,

Uye anowanira ngirozi dzake* mhosva.

19 Ko kuzoti vaya vanogara mudzimba dzevhu,

Dzine faundesheni iri muguruva,+

Vanotswanywa nyore nyore sechitemamachira!*

20 Vanoparadzwa zvachose kubvira mangwanani kusvikira manheru;

Vanoparara nekusingaperi, uye hapana anombozvicherechedza.

21 Havana here kufanana netende rabviswa tambo?

Vanofa vasina uchenjeri.

5 “Shevedza! Pane ari kukupindura here?

Pavatsvene, uchaenda kune upi?

 2 Nekuti kugumbuka kuchauraya munhu akapusa,

Uye shanje dzichauraya munhu asina kungwara.

 3 Ndakaona munhu akapusa achidzika midzi,

Asi nzvimbo yake yaanogara yakazongova yakatukwa.

 4 Vanakomana vake havana kana kuchengeteka,

Uye vanopwanyirwa pagedhi reguta,+ pasina anovanunura.

 5 Zvaanokohwa zvinodyiwa neane nzara,

Zvichitorwa kunyange zviri pakati peminzwa,

Uye zvinhu zvavo zvinoteyiwa.

 6 Nekuti zvinhu zvinokuvadza hazvibudi muguruva,

Uye dambudziko haribudi muvhu.

 7 Nekuti nhamo inotouya pamunhu anenge aberekwa,

Sezvinongoita moto unobvira uchiputika uchikwira mudenga.

 8 Asi dai ndirini iwe ndaikwidza nyaya yangu kuna Mwari,

Uye ndaipira nyaya yangu kuna Mwari,

 9 Kuna iye anoita zvinhu zvikuru zvisingagoni kuongororwa,

Zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.

10 Anonayisa mvura panyika

Uye anotuma mvura paminda.

11 Anosimudza vakaderera,

Uye anosimudza vakasuruvara kuti vaponeswe.

12 Anovhiringidza mazano evanyengeri,

Kuti basa remaoko avo rirege kubudirira.

13 Anobata vakachenjera mukunyengera kwavo,+

Kuti zvirongwa zvevakangwara zvisabudirire.

14 Vanosangana nerima masikati,

Uye vanotsvangadzira masikati machena sekunge kuti usiku.

15 Anoponesa pabakatwa remiromo yavo,

Achiponesa varombo paruoko rwevakasimba,

16 Kuti vakaderera vave netariro,

Asi miromo yevasina kururama yovharwa.

17 Anofara munhu anotsiurwa naMwari;

Saka usaramba kurangwa neWemasimbaose!

18 Nekuti anoita kuti pave nemarwadzo, asi anosunga ronda racho;

Anokuvadza, asi anorapa nemaoko ake.

19 Achakununura pamatambudziko matanhatu,

Kunyange dambudziko rechinomwe harizokukuvadzi.

20 Achakudzikinura parufu munguva yenzara,

Uye pasimba rebakatwa munguva yehondo.

21 Uchadzivirirwa parurimi runotaura zvinorwadza,+

Uye hauzotyi kuparadzwa pakunouya.

22 Uchaseka dambudziko uye nzara,

Uye hauzotyi zvikara zvepanyika.

23 Nekuti matombo emusango haazokukuvadzi,*

Uye zvikara zvemusango zvichava nerugare newe.

24 Uchaziva kuti tende rako rakachengeteka,*

Uye hapana chauchawana chisipo paunoongorora mafuro ako.

25 Uchava nevana vakawanda,

Uye vazukuru vako vachawanda seuswa hwepanyika.

26 Uchasvika pakuenda kuguva uchakasimba,

Sezvisote zvegorosi zvinounganidzwa mumwaka wazvo.

27 Ona! Takazviongorora uye ndizvo zvazviri.

Teerera, uzvibvume.”

6 Jobho akabva apindura achiti:

2 “Dai kutambudzika kwangu+ kwaiyerwa kwese

Uye dai kwaiiswa pachikero pamwe chete nenhamo yangu!

 3 Nekuti iye zvino zvava kurema kupfuura jecha remumakungwa.

Ndokusaka mashoko angu anga ari ekuvhurumuka.*+

 4 Nekuti miseve yeWemasimbaose yandibaya,

Uye mweya* wangu uri kunwa uturu hwayo;+

Kutyisa kunobva kuna Mwari kwarongwa kuti kundirwise.

 5 Dhongi remusango+ ringachema riine uswa here,

Kana kuti mukono wemombe ungakuma uine chikafu chawo here?

 6 Zvekudya zvisinganaki zvinodyiwa zvisina munyu here,

Kana kuti muto wemumaro* unonaka here?

 7 Ndaramba* kubata zvinhu zvakadaro.

Zvakafanana nezvekudya zvinorwarisa.

 8 Dai chikumbiro changu chapindurwa

Uye dai Mwari andiitira zvandinoshuva!

 9 Dai Mwari aida hake kundiparadza,

Uye dai aitambanudza ruoko rwake ondiparadza!+

10 Nekuti kunyange izvozvo zvingandinyaradza;

Ndingasvetuka nemufaro pasinei nekurwadziwa kusingaperi,

Nekuti handina kuramba mashoko eMutsvene.+

11 Ndine simba rekuramba ndakamirira here?+

Uye ndichapedzisira ndawanei, chandingaramba ndichiraramira?*

12 Ndakasimba sedombo here?

Kana kuti nyama yangu ndeyemhangura here?

13 Pane zvandinogona kuita kuti ndiwane rubatsiro here

Ini ndabvisirwa zvese zvainditsigira?

14 Munhu wese anorega kuratidza mumwe wake+ rudo rusingachinji

Acharega kutya Wemasimbaose.+

15 Hama dzangu chaidzo dzakandinyengera+ serukova rwemuchando,

Semvura yemuhova dzemuchando inokurumidza kuoma.

16 Dzinosvibiswa nechando,

Uye chando chiri kunyunguduka chinovanzwa madziri.

17 Asi mumwaka wadzo dzinoshayiwa mvura, dzopwa;

Kana kwopisa, dzinooma.

18 Dzinotsauswa kwadzanga dzakananga;

Dzinoyerera dzichipinda mugwenga, dzonyangarika.

19 Vafambi vekuTema+ vanodzitsvaga;

Vafambi vekuSheba+ vanodzimirira.*

20 Vari kunyara nekuti vakavimba nezvinhu zvisipo;

Vanoenda ikoko voodzwa mwoyo.

21 Nekuti imi ndizvo zvamuri kwandiri;+

Makaona kutyisa kwematambudziko angu, mukatya.+

22 Ndamboti here, ‘Ndipei chimwe chinhu,’

Kana kukumbira kuti mundibatsire nechipo chinobva papfuma yenyu?

23 Ndambokumbira kununurwa paruoko rwemuvengi here,

Kana kununurwa* pavadzvinyiriri?

24 Ndirayiridzei, uye ndichange ndakanyarara;+

Ndibatsirei kunzwisisa pandakatadza.

25 Mashoko echokwadi haarwadzi!+

Asi mashoko enyu ekunditsiura anobatsirei?+

26 Muri kuronga kunditsiura pane zvandiri kutaura here,

Zviri kutaurwa nemunhu akaora mwoyo,+ zvinongotorwawo nemhepo?

27 Mungatokandirawo nherera mijenya+

Muchitengesa shamwari yenyu chaiyo!+

28 Saka cheukai munditarise,

Nekuti handingambonyepi pamberi penyu.

29 Ndinokumbirawo kuti munyatsofunga, musandione zvisiri izvo,

Chokwadi, nyatsofungai, nekuti kururama kwangu hakuna kuchinja.

30 Rurimi rwangu ruri kutaura zvisina kururama here?

Mukanwa mangu hamunzwi kuti pane chinhu chisina kumira zvakanaka here?

7 “Upenyu hwemunhu panyika hahuna kufanana nebasa rekumanikidzwa here,

Uye mazuva ake haana kufanana neemunhu wemaricho here?+

 2 Anosuwa mumvuri semuranda,

Uye anomirira mubhadharo wake semunhu wemaricho.+

 3 Saka ndakapiwa mwedzi isina zvainobatsira,

Uye ndakaverengerwa usiku hwekutambudzika.+

 4 Pandinorara ndinobvunza kuti, ‘Ndichamuka riini?’+

Asi usiku pahunenge huchifamba, ndinongoshanyarika kusvikira kwachena.*

 5 Nyama yangu yakazara nehonye nemakoko etsvina;+

Ganda rangu razara makwati neurwa.+

 6 Mazuva angu anomhanya kupfuura chirukiso chemuruki,+

Uye anoguma pasina tariro.+

 7 Yeukai kuti upenyu hwangu imhepo,+

Kuti ziso rangu harichafi rakaona mufaro* zvakare.

 8 Ziso riri kundiona iye zvino harichazondionizve;

Maziso enyu achanditsvaga, asi ndinenge ndaenda.+

 9 Segore rinoparara ronyangarika,

Munhu anopinda muGuva* haabudimo.+

10 Haazodzokizve kumba kwake,

Uye imba yake haizomuzivizve.+

11 Saka ini handisi kuzodzora muromo wangu.

Ndichataura ndichitambudzika;

Ndichanyunyuta ndichirwadziwa!*+

12 Ndiri gungwa kana kuti zimhuka remugungwa here,

Zvamuri kundiisira murindi kuti andirinde?

13 Pandinoti, ‘Mubhedha wangu uchandinyaradza;

Mubhedha wangu ucharerutsa kutambura kwangu,’

14 Munobva maita kuti ndirote zvinhu zvinotyisa

Uye munondivhundutsa nezviratidzo,

15 Zvekuti ndingatosarudza* kutadza kufema,

Kusarudza kufa pane kuramba ndiine muviri wangu.*+

16 Ndinosema upenyu hwangu;+ handidi kuramba ndichirarama.

Siyanai neni, nekuti mazuva angu akafanana nekungofema kamwe chete.+

17 Munhu chii kuti muzvinetse nezvake

Uye kuti mufunge nezvake?*+

18 Nei muchimuongorora mangwanani ega ega

Uye muchigara muchimuedza?+

19 Nei musingambobvisawo maziso enyu pandiri

Kuti mumbondipawo mukana wekumedza mate?+

20 Kana ndakatadza, ndingakuitai chii, imi Mucherechedzi wevanhu?+

Nei mangoti nangananga neni?

Ndava kukuremerai here?

21 Nei musingaregereri kudarika kwangu

Mokanganwira kukanganisa kwangu?

Nekuti ndava pedyo kurara muguruva,+

Uye muchanditsvaga, asi ndinenge ndaenda.”

8 Bhiridhadhi+ muShuhi+ akabva apindura achiti:

 2 “Ucharamba uchitaura zvakadai kusvikira riini?+

Mashoko emuromo wako akaita semhepo ine simba!

 3 Mwari angatsaudzira pakutonga here,

Kana kuti Wemasimbaose angaita zvinhu zvisina kururama here?

 4 Kana vanakomana vako vaine zvavakamutadzira,

Akavarega vachirangwa nemhaka yekupanduka kwavo;*

 5 Asi dai ukatsvaga Mwari+

Woteterera Wemasimbaose kuti unzwirwe nyasha,

 6 Uye dai wakanyatsochena uye wakarurama,+

Angadai akunzwa

Uye akudzorera panzvimbo yako chaiyo.

 7 Uye kunyange wakatanga uri wepasi,

Ramangwana rako raizobudirira.+

 8 Bvunza chizvarwa chekare,

Uye funga nezvezvinhu zvakazivikanwa nemadzibaba avo.+

 9 Nekuti tinongova vazuro, uye hapana chatinoziva,

Nekuti mazuva edu panyika akaita semumvuri.

10 Havangakurayiridzi,

Vokuudza zvavanoziva* here?

11 Nhokwe ingareba pasina machakwi here?

Tsanga ingareba pasina mvura here?

12 Painenge ichiri kutungira, isati yatemwa,

Inotangira humwe uswa hwese kuoma.

13 Aya ndiwo magumo evese* vanokanganwa Mwari,

Nekuti tariro yemunhu asingadi Mwari* ichaparara,

14 Ari kuvimba nezvinhu zvisipo,

Uye anovimba nezvinhu zvisina kusimba seimba yedandemutande.

15 Achazendamira imba yake, asi haizorambi yakamira;

Achaedza kuramba akaibata, asi haizorambi iripo.

16 Akaita semuti wakadiridzwa uri kukura muzuva,

Uye nhungirwa dzake dzinotandavara mumunda.+

17 Midzi yake inorukana pamurwi wematombo;

Anotsvaga imba mumatombo.*

18 Asi kana adzurwa* panzvimbo yake,

Nzvimbo yacho ichamuramba uye ichati, ‘Handisati ndambokuona.’+

19 Uku ndiko kutsakatika kwaachaita;*+

Vamwe vachabva vabuda muguruva.

20 Mwari haangamborambi vaya vanoramba vakaperera;*

Uye haazotsigiri vanhu vakaipa,*

21 Nekuti achazadza muromo wako nekuseka

Uye miromo yako nekushevedzera kwekufara.

22 Vaya vanokuvenga vachapfekedzwa nyadzi,

Uye tende revakaipa harizovipo.”

9 Jobho akapindura achiti:

2 “Chokwadi ndinoziva kuti ndizvo zvazvakaita.

Asi munhu anofawo zvake angatongana naMwari akanzi akarurama here?+

 3 Kana munhu akada kuita nharo naye,*+

Haangambokwanisi kumupindura kunyange mubvunzo mumwe chete pane ine chiuru.

 4 Iye ane mwoyo wakachenjera uye ane simba guru.+

Ndiani angamirisana naye akasakuvadzwa?+

 5 Anofambisa* makomo pasina anozviziva;

Anoapidigura akatsamwa.

 6 Anozunungusa nyika panzvimbo payo,

Zvekuti mbiru dzayo dzinodedera.+

 7 Anoudza zuva kuti rirege kupenya

Uye anovhara chiedza chenyeredzi;+

 8 Anotambanudza denga ari ega,+

Uye anotsika pamusoro pemafungu makuru egungwa.+

 9 Akasika nyeredzi dzeAshi, dzeKesiri, uye dzeKima,*+

Uye nyeredzi dzedenga rekumaodzanyemba;*

10 Anoita zvinhu zvikuru zvisingagoni kuongororwa,+

Zvinhu zvinoshamisa zvisingagoni kuverengwa.+

11 Anopfuura nepandiri, asi handigoni kumuona;

Anopfuura nepandiri, asi handigoni kumuziva.

12 Paanobvuta chinhu, ndiani angaramba nacho?

Ndiani angati kwaari, ‘Uri kuitei?’+

13 Mwari haazodzori hasha dzake;+

Kunyange vabatsiri vaRahabhi*+ vachamukotamira.

14 Ko kuzoti kana ini ndava kumupindura

Ndinotofanira kungwarira zvakadii kusarudza mashoko!

15 Kunyange dai ndanga ndakarurama, ndaisazomupindura.+

Ndaizongokumbira kuti mutongi wangu* andinzwirewo tsitsi.

16 Kana ndikamushevedza, achandipindura here?

Handifungi kuti achateerera inzwi rangu,

17 Nekuti anondipwanya nedutu

Uye anoita kuti maronda angu awedzere pasina chikonzero.+

18 Haandipi mukana wekufema;

Anoramba achindizadza nezvinhu zvinovava.

19 Kana pari panyaya yesimba, iye ndiye akasimba.+

Kana pari panyaya yekutonga zvakarurama, iye anoti: ‘Ndiani anogona kundibvunza zvandinenge ndaita?’*

20 Dai ndakarurama, muromo wangu waizondipa mhosva;

Kunyange dai ndikaramba ndakaperera,* achanditi ndine mhosva.

21 Kunyange dai ndikaramba ndakaperera,* handina chivimbo nezvandinoita;*

Ndinoramba* upenyu uhwu hwandiinahwo.

22 Zvakangofanana. Ndokusaka ndichiti,

‘Anoparadza vese, vasina mhosva,* nevakaipa.’

23 Kana mafashamo akakonzera rufu,

Angatotsvinyira vasina mhosva vanenge vapererwa nezano.

24 Nyika yakaiswa mumaoko evakaipa;+

Anofukidza maziso evatongi vayo.*

Kana asiri iye, saka ndiani?

25 Iye zvino mazuva angu anomhanya kupfuura mumhanyi;+

Anotiza asina chakanaka chaari kuona.

26 Anofamba nekukurumidza sezvikepe zvetsanga,

Semakondo anodzika akananga kunobata nyama.

27 Kana ndikati, ‘Regai ndikanganwe kugunun’una kwangu,

Ndichinje chiso changu, nditange kufara,’

28 Ndinongoramba ndichitya nemhaka yekurwadziwa kwangu kwese,+

Uye ndinoziva kuti hamumbondiwani ndisina mhosva.

29 Ndinongowanikwa ndiine mhosva.*

Saka ndinorambirei ndichizvinetsa?+

30 Kana ndikageza nemvura inobva muchando chiri kunyunguduka,

Ndochenesa maoko angu nehundi,*+

31 Maizondinyudza mugomba,

Zvekuti kunyange zvipfeko zvangu zvaizondisema.

32 Nekuti iye haasi munhu akaita seni zvekuti ndingamupindure,

Kuti tiende kudare tese.+

33 Hapana munhu angatitonganisa,*

Angaita semutongi wedu.*

34 Dai airega kundirova*

Uye airega kundivhundutsa,+

35 Ndaibva ndataura ndisingatyi,

Nekuti zvekutaura ndichitya hazvisi mandiri.

10 “Ndinosema* upenyu hwangu.+

Ndichabudisa kunyunyuta kwangu.

Ndichataura ndichirwadziwa!*

 2 Ndichati kuna Mwari: ‘Musanditi ndine mhosva.

Ndiudzei kuti muri kundirwisirei.

 3 Zvinokubatsirai chii kuti mudzvinyirire,

Uye kuti mushore basa remaoko enyu+

Muchifarira zano revakaipa?

 4 Mune maziso enyama here,

Kana kuti munoona sekuona kunoita munhu here?

 5 Mazuva enyu akaita semazuva evanhu vanofa here,

Kana kuti makore enyu akaita seemunhu here,+

 6 Zvamuri kutsvaga chikanganiso changu

Nekuramba muchitsvaga chivi changu?+

 7 Munoziva kuti handina mhosva;+

Uye hapana anokwanisa kundinunura paruoko rwenyu.+

 8 Maoko enyu akandiumba uye akandisika,+

Asi iye zvino mava kuda kundiparadza zvachose.

 9 Ndapota zvangu, yeukai kuti makandiumba nevhu,+

Asi iye zvino mava kuita kuti ndidzokere kuguruva.+

10 Hamuna here kundidurura semukaka

Uye kundikodzeka semukaka wakakora?

11 Makandipfekedza ganda uye nyama,

Uye makandiruka nemapfupa nemarunda.*+

12 Makandipa upenyu, mukandiratidza rudo rusingachinji;

Makachengetedza upenyu hwangu.+

13 Asi manga makaronga nechemumwoyo kuzoita zvinhu izvi.*

Ndinoziva kuti zvinhu izvi zviri kubva kwamuri.

14 Dai ndakatadza, imi maingonditarisa,+

Maisazondiregerera kukanganisa kwangu.

15 Kana ndiine mhosva, ndine nhamo!

Uye kunyange kana ndisina mhosva, handigoni kusimudza musoro,+

Nekuti ndakazara nekuzvidzwa uye nekutambudzika.+

16 Kana ndikasimudza musoro, munondivhima seshumba+

Moratidzazve simba renyu pandiri.

17 Munounza zvapupu zvitsva zvichindiwanira mhosva

Mowedzera hasha dzenyu pandiri,

Matambudziko achiramba achiuya pandiri akatevedzana.

18 Saka makandibudisireiko muchibereko?+

Ndingadai ndakafa pasina kana ziso rakandiona.

19 Ndingadai ndakaita sekunge kuti handina kumbovapo;

Ndingadai ndakangobudiswa muchibereko ndichinanga muguva.’

20 Mazuva angu haasi mashoma here?+ Iye ngaasiyane neni;

Ngaabvise maziso ake pandiri, ndimbowanawo zororo*+

21 Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki,+

Kunyika yerima gobvu,*+

22 Kunyika yezarima,

Nyika yakati ndo-o uye isina kurongeka,

Yekuti kunyange chiedza chakaita serima.”

11 Zofari+ muNaama akapindura achiti:

 2 “Mashoko ese aya angarega kupindurwa here,

Kana kuti kutaura zvakawanda kuchaita kuti munhu anzi akarurama here?*

 3 Kutaura zvisina musoro kwauri kuita kunganyararidza vanhu here?

Pangashayikwa munhu anokutsiura pamashoko ako ekunyomba here?+

 4 Nekuti unoti, ‘Kudzidzisa kwangu kwakachena,+

Uye ndakachena mumaziso enyu.’+

 5 Asi dai Mwari aizotaura

Oshama muromo wake kwauri!+

 6 Aizokuudza zvinoita kuti uve munhu akachenjera,

Nekuti pane zvakawanda zvinofanira kuzivikanwa nezveuchenjeri hwechokwadi.

Waibva waziva kuti Mwari anobvumira kuti zvimwe zvikanganiso zvako zvirege kuyeukwa.

 7 Ungaziva zvinhu zvakadzama zvaMwari

Kana kuziva zvese nezveWemasimbaose* here?

 8 Uchenjeri hwakakwirira kupfuura denga. Iwe ungaitei?

Hwakadzika kupfuura Guva.* Chii chaunoziva?

 9 Hwakareba kupfuura nyika,

Uye hwakafara kupfuura gungwa.

10 Kana iye akapfuura, obata munhu ounganidza dare,

Ndiani angamurambidza?

11 Nekuti anonyatsoziva kana vanhu vachinyengera.

Paanoona zvakaipa, angazvisiya zvakadaro here?

12 Asi munhu asingafungi angatonzwisisa chete

Kana dhongi remusango rabereka munhu.*

13 Dai waingogadzirira mwoyo wako

Uye waitambanudzira maoko ako kwaari.

14 Kana ruoko rwako ruchiita zvakaipa, ruise kure,

Uye kusarurama ngakurege kugara mumatende ako.

15 Nekuti uchabva wasimudza chiso chako usina chinoshoreka pauri;

Uchamira wakasimba, usina chaunotya.

16 Nekuti uchabva wakanganwa kutambura kwako;

Uchakuyeuka semvura yakayerera ichipfuura nepauri.

17 Upenyu hwako huchajeka kupfuura masikati makuru;

Kunyange rima rahwo richaita semangwanani.

18 Uchava nechivimbo nekuti panenge paine tariro,

Uye uchatarisa kwese kwese, worara wakachengeteka.

19 Ucharara pasi, pasina anokutyisa,

Uye vanhu vakawanda vachada kufarirwa newe.

20 Asi maziso evakaipa achatadza kuona;

Uye vachashaya kwekutizira,

Uye tariro yavo ichangova yerufu.”*+

12 Jobho akabva apindura achiti:

 2 “Chokwadi imi ndimi vanhu vanoziva,*

Uye uchenjeri huchafa pamwe chete nemi!

 3 Asi iniwo ndinonzwisisa.*

Handina kuderera kukupfuurai.

Ndiani asingazivi zvinhu izvi?

 4 Ndava chiseko cheshamwari dzangu,+

Munhu anoshevedzera kuna Mwari kuti apindurwe.+

Munhu akarurama, asina chaanopomerwa, ndiye ava chiseko.

 5 Vaya vakagarika vanozvidza kutambura,

Vachifunga kuti ndekwevaya vane tsoka dzisina kugadzikana.*

 6 Matende emakororo ane runyararo,+

Uye vaya vanotsamwisa Mwari vakachengeteka,+

Vaya vakabata mwari wavo mumaoko.

 7 Asi bvunzai mhuka, uye dzichakurayiridzai;

Neshiri dzedenga, uye dzichakuudzai.

 8 Kana kuti fungai nezvenyika,* uye ichakurayiridzai;

Uye hove dzemugungwa dzichakuzivisai nezvazvo.

 9 Pazvinhu zvese izvi ndechipi chisingazivi

Kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvi?

10 Muruoko rwake ndimo mune upenyu hwechinhu chese chinorarama*

Uye simba reupenyu remunhu wese.*+

11 Nzeve haiedzi mashoko

Sekuravira kunoita rurimi zvekudya here?+

12 Uchenjeri hausi pakati pevakwegura here,+

Uye kunzwisisa hakuuyi nekupindana kwemazuva here?

13 Iye ane uchenjeri nesimba;+

Anopa mazano uye anonzwisisa.+

14 Kana akaputsa chinhu hapana anogona kuchivakazve;+

Chaanenge avhara, hapana munhu anogona kuchivhura.

15 Kana akachengeta mvura, zvinhu zvese zvinooma;+

Kana akaituma, inozadza nyika.+

16 Iye ane simba neuchenjeri;+

Munhu anotsauka, nemunhu anotsausa, ndevake vese;

17 Iye anoita kuti makurukota afambe asina shangu,*

Uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.+

18 Anosunungura zvisungo zvinoiswa nemadzimambo,+

Uye anosunga bhandi muchiuno mavo.

19 Anoita kuti vapristi vafambe vasina shangu,+

Uye anowisira pasi vaya vane masimba, vakanyatsodzika midzi;+

20 Anoita kuti makurukota anovimbwa nawo atadze kutaura

Uye anobvisa kuchenjera kwevakwegura;*

21 Anodurura kuzvidzwa pavakuru vakuru,+

Uye anoita kuti vane simba vapere simba;*

22 Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zviri murima,+

Uye anobudisa chiedza pane rima gobvu;

23 Anoita kuti marudzi akure, kuti azoaparadza;

Anoita kuti marudzi akure, kuti azoaendesa kuutapwa.

24 Anobvisa kunzwisisa kwevatungamiriri* vevanhu

Uye anoita kuti vadzungaire nemasango.+

25 Vanotsvangadzira murima,+ musina chiedza;

Anoita kuti vadzedzereke sevarume vakadhakwa.+

13 “Chokwadi, ziso rangu rakaona zvese izvi,

Nzeve yangu yakazvinzwa, ikazvinzwisisa.

 2 Zvamunoziva imi, ini ndinozvizivawo;

Handina kuderera kukupfuurai.

 3 Ini ndingatoda zvangu kutaura neWemasimbaose pachake;

Ndinoda kupindurana naMwari panyaya yangu.+

 4 Asi imi muri kundizora nhema;

Mese muri vanachiremba vasingabatsiri.+

 5 Dai henyu mangoramba makanyarara kuti zii,

Kuti munzi makachenjera.+

 6 Inzwaiwo zvandiri kutaura,

Uye teererai kuteterera kwandiri kuita nemuromo wangu.

 7 Muchataura zvisina kururama muchimiririra Mwari here,

Uye muchataura zvekunyengera muchimumiririra here?

 8 Muchava kurutivi rwake here,

Muchaedza kumiririra Mwari wechokwadi panyaya yake here?

 9 Kana akakuongororai zvinozokufambirai zvakanaka here?+

Muchamubata kumeso sezvamunoita munhu here?

10 Achatokutsiurai chete

Kana mukaedza kuita zverusarura pachivande.+

11 Kukudzwa kwake hakuzokutyisai here,

Mobatwa nekumutya?

12 Mashoko enyu eungwaru* akaita sezvirevo zvemadota;

Zvamunotaura muchiti hamuna mhosva zvakaita senhoo dzevhu.

13 Rambai makanyarara pamberi pangu, nditaure.

Chauya pandiri ngachiuye!

14 Ndinoisireiko upenyu hwangu mungozi*

Uye ndinobatireiko upenyu hwangu* mumaoko?

15 Kunyange dai aindiuraya, ndaingoramba ndakamirira;+

Ndaizotaura nyaya yangu pamberi pake ndichipindurana naye.

16 Aibva ava ruponeso rwangu,+

Nekuti hapana munhu asingadi Mwari* angauya pamberi pake.+

17 Nyatsoteererai shoko rangu;

Inzwai zvandiri kuzivisa.

18 Chionai zvino, ndagadzirira kuti nyaya yangu itongwe;

Ndinoziva kuti ndakarurama.

19 Ndiani achakakavadzana neni?

Kana ndikaramba ndakanyarara ndingafa!*

20 Ingondiitirai zvinhu zviviri chete, haiwa Mwari,*

Kuti ndirege kukuhwandai musandione pamberi penyu:

21 Isai ruoko rwenyu runorema kure neni,

Uye musaita kuti kutyisa kwenyu kundivhundutse.+

22 Shevedzai uye ini ndichapindura,

Kana kuti regai nditaure, imi mundipindure.

23 Ndakakanganisei uye ndakatadzei?

Ndibudisirei pachena chitadzo changu nechivi changu.

24 Munovanzirei chiso chenyu+

Muchinditora semuvengi wenyu?+

25 Muchaedza kutyisidzira shizha riri kupeperetswa nemhepo

Kana kudzingirira mashanga akaoma here?

26 Nekuti munoramba muchinyora pasi mashoko anorwadza ekundipomera,

Uye munoita kuti ndizvidavirire pazvivi zvandakaita ndichiri mudiki.

27 Munoisa tsoka dzangu muzvisungo zvematanda,*

Munopenengura nzira dzangu dzese,

Uye munotevedza tsoka yangu imwe neimwe.

28 Saka munhu* anoora sechinhu chinoparara,

Sechipfeko chakadyiwa nezvitemamachira.*

14 “Munhu akaberekwa nemukadzi,

Anorarama kwenguva pfupi+ uye akamomoterwa nenhamo.+

 2 Anobuda seruva, osvava;*+

Anotiza semumvuri, onyangarika.+

 3 Chokwadi, ziso renyu rinoramba rakamutarisa,

Uye munoita kuti auye kudare kuti mutonganiswe naye.*+

 4 Ndiani angabudisa munhu akachena pamunhu asina kuchena?+

Hapana angazvigona!

 5 Kana mazuva aachararama akasarudzwa,

Ndimi munoziva kuwanda kwemwedzi yake;

Makamuisira muganhu kuti arege kuudarika.+

 6 Bvisai maziso enyu paari kuti azorore,

Kusvikira apedza zuva rake sezvinoita munhu wemaricho.+

 7 Nekuti kunyange muti une tariro.

Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve,

Uye nhungirwa dzawo dzicharamba dzichikura.

 8 Kana mudzi wawo ukakurisa uri muvhu

Uye chigutsa chawo chikafira muvhu,

 9 Pachinongonzwa kunhuhwirira kwemvura, chichatungira;

Uye chichabudisa mapazi semuti mutsva.

10 Asi munhu anofa, orara asisina chaanokwanisa;

Munhu paanofa, anenge aenda kupi?+

11 Mvura inonyangarika mugungwa,

Uye rwizi runopwa, rwooma.

12 Munhu anorarawo pasi uye haamuki.+

Havazomuki kusvikira denga risisiko,

Uyewo havazomutswi pahope dzavo.+

13 Haiwa, dai manga mandivanza henyu muGuva,*+

Dai manga mandivanza kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura,

Dai manga manditemera nguva, mozondiyeuka!+

14 Kana munhu akafa, angararamazve here?+

Ndichamirira mazuva ese ebasa rangu rekumanikidzwa,

Kusvikira ndasunungurwa.+

15 Muchashevedza, uye ndichakupindurai.+

Muchasuwa basa remaoko enyu.

16 Asi iye zvino muri kuramba muchiverenga nhanho yangu imwe neimwe;

Munongotsvaga chivi changu chete.

17 Kudarika kwangu kwanamirwa muhomwe,

Uye manama chivi changu neguruu.

18 Sekuwa kunoita gomo roparara

Uye sedombo rinobviswa panzvimbo paro,

19 Sekuchera kunoita mvura matombo

Uye sekuyerera kwainoita ichikukura ivhu,

Imi makaparadza tariro yemunhu.

20 Munoramba muchimukurira kusvikira aparara;+

Munoshandura zvaanenge ari, momudzinga.

21 Vanakomana vake vanokudzwa, asi iye haazvizivi;

Vanoshoreka, asi iye haazvizivi.+

22 Anongorwadziwa paanenge achiine nyama yake chete;

Anongochema* paanenge achiri mupenyu chete.”

15 Erifazi+ muTemani akapindura achiti:

 2 “Munhu akachenjera angapindura nemashoko asina zvaanobatsira here,

Kana kuti angazadza dumbu rake nemhepo yekumabvazuva here?

 3 Kutsiura nemashoko asina basa hakubatsiri,

Uye kungotaura chete hakubatsiri.

 4 Nekuti unoita kuti kutya Mwari kushaye basa,

Uye unoita kuti kufungisisa nezvaMwari kuonekwe sekusingakoshi.

 5 Zvaunotaura zvinobva pakukanganisa kwako,*

Uye unosarudza mashoko ekunyengera.

 6 Muromo wako ndiwo unokupa mhosva, kwete ini;

Muromo wako ndiwo unokupomera.+

 7 Ndiwe munhu akatanga kuberekwa here,

Kana kuti wakaberekwa zvikomo zvisati zvavapo here?

 8 Unomboteerera Mwari achitaura nyaya dzake ega here,

Kana kuti ndiwe wega une uchenjeri here?

 9 Chii chaunoziva iwe chatisingazivi?+

Chii chaunonzwisisa iwe chatisinganzwisisi?

10 Pakati pedu pane vachena musoro nevakwegura,+

Varume vakura kupfuura baba vako.

11 Kunyaradzwa kwaunoitwa naMwari,

Kana kuti mashoko eunyoro aunotaurirwa hazvina kukwana here?

12 Mwoyo wako unoitirei kuti uzvikudze,

Uye nei wakabudisa maziso nehasha?

13 Nekuti unotsamwira Mwari,

Uye unosiya mashoko akadaro achibuda mumuromo mako.

14 Munhu chii kuti ave akachena,

Kana kuti munhu akaberekwa nemukadzi chii kuti ave akarurama?+

15 Iye haatendi muvatsvene vake,

Uye kunyange denga harina kuchena pamberi pake.+

16 Ko kuzoti munhu anosemesa uye ane uori,+

Murume anonwa kusarurama sekunwa kwaanoita mvura!

17 Ndichakuudza; nditeerere!

Ndichakurondedzera zvandakaona,

18 Zvinhu zvakarondedzerwa nevarume vakachenjera vazvinzwa kumadzibaba avo,+

Zvinhu zvavasina kuvanza.

19 Ivo vega ndivo vakapiwa nyika,

Uye hapana mutorwa akapfuura nepakati pavo.

20 Munhu akaipa anongotambura mazuva ake ese,

Mumakore ese akachengeterwa mudzvinyiriri.

21 Anonzwa zvinhu zvinotyisa munzeve dzake;+

Panguva yerunyararo, vapambi vanouya kuzomurwisa.

22 Haatendi kuti achabuda murima;+

Anochengeterwa bakatwa.

23 Anomberereka achitsvaga zvekudya,* achiti: “Zviri kupi?”

Anonyatsoziva kuti zuva rerima rava pedyo.

24 Kutambudzika nekurwadziwa zvinoramba zvichiita kuti atye;

Zvinouya samambo akagadzirira kurwa, zvomukurira.

25 Nekuti anosimudza ruoko rwake kuti arwe naMwari pachake

Uye anoedza kurwisa* Wemasimbaose;

26 Anoomesa musoro achimhanya kunorwisana naye,

Aine nhoo yake yakakora uye yakasimba;

27 Chiso chake chakakora,

Uye hudyu dzake dzabuda nekukora;

28 Anogara mumaguta achaparadzwa,

Mudzimba dzisingazogarwi,

Dzichava mirwi yematombo.

29 Haazopfumi, uye pfuma yake haizowedzeri,

Uye zvinhu zvake hazvizozari panyika.

30 Achatadza kubuda murima;

Rimi remoto richaomesa bazi rake,*

Uye achabviswa nemhepo yemuromo waMwari.*+

31 Haafaniri kutsauka achivimba nezvinhu zvisina zvazvinobatsira,

Nekuti zvaachawana hazvibatsiri;

32 Zvichaitika zuva rake risati rasvika,

Uye mapazi ake haazokuri zvakanaka.+

33 Achaita semuzambiringa unodonhedza mazambiringa awo asina kuibva,

Uye achaita semuorivhi unodonhedza maruva awo.

34 Nekuti ungano yevasingadi Mwari* haina zvibereko,+

Uye moto uchaparadza matende evanoita zvechiokomuhomwe.

35 Vanobata pamuviri pedambudziko, vobereka zvinhu zvakaipa,

Uye muchibereko chavo munobuda unyengeri.”

16 Jobho akapindura achiti:

2 “Ndakambonzwa zvinhu zvizhinji zvakadai.

Mese muri vanyaradzi vanotambudza!+

 3 Mashoko asina zvaanobatsira achazombopera here?

Imi maitwa sei kuti muzopindura muchidaro?

 4 Ini ndinokwanisawo kutaura sezvamunoita.

Kudai zviri kuitika kwandiri zviri izvo zviri kuitika kwamuri,

Ndaigona kutaura mashoko anorwadza kwamuri

Ndodzungudza musoro ndakakutarisai.+

 5 Asi pane kudaro, ndaitozokusimbisai nemashoko emuromo wangu,

Uye kunyaradza kwemiromo yangu kwaizozorodza.+

 6 Kana ndikataura, marwadzo angu haanyarari,+

Uye kana ndikarega kutaura, marwadzo angu anoderedzwa kusvika papi?

 7 Asi iye zvino, iye andipedza simba;+

Aparadza imba yangu yese.*

 8 Munondibatawo, uye izvi zviri kubva zvava uchapupu,

Zvekuti kuondoroka kwangu kunosimuka kuchipupurira pamberi pangu.

 9 Hasha dzake dzandibvambura-bvambura, uye anondivenga.+

Anorumanisa mazino ake akanditsamwira.

Muvengi wangu anondidzvokora nemaziso eruvengo.+

10 Vakandishamira miromo yavo,+

Uye vakarova matama angu vachindituka;

Vanondimomotera vakawanda.+

11 Mwari anondiisa mumaoko evakomana vadiki,

Uye anondikanda mumaoko evakaipa.+

12 Ndakanga ndisina chaindinetsa, asi akandiputsa;+

Akandibata necheseri kwemutsipa ndokundirovera pasi;

Akabva atanga kundipfura nemiseve yake.

13 Vanhu vake vanopfura neuta vanondikomba;+

Anotsemura itsvo dzangu+ asinganzwi tsitsi;

Anodururira nduru yangu pasi.

14 Anondidhiritsa serusvingo, achiramba achivhura mekupinda namo;

Anondimhanyira sezvinoita murwi.

15 Ndakasonanidza masaga kuti ndifukidze ganda rangu,+

Uye ndakaviga kuremekedzwa kwangu* muguruva.+

16 Chiso changu chatsvuka nekuchema,+

Uye pamaziso angu pane mumvuri werufu,

17 Kunyange zvazvo maoko angu asina kukuvadza munhu,

Uye munyengetero wangu wakachena.

18 Haiwa iwe nyika, usafukidza ropa rangu!+

Uye kuchema kwangu ngakushayiwe nzvimbo yekuzororera!

19 Kunyange iye zvino, chapupu changu chiri kudenga;

Munhu anogona kundipupurira ari kumusoro.

20 Shamwari dzangu dzinondinyomba+

Ziso rangu richichema misodzi kuna Mwari.*+

21 Mumwe munhu ngaatonganise munhu naMwari,

Sekutonganiswa kunoitwa munhu nemumwe wake.+

22 Nekuti makore asara ava mashoma,

Uye ndichaenda nenzira isingadzokwi.+

17 “Mweya* wangu waputswa, mazuva angu apera;

Kumakuva kwakandimirira.+

 2 Ndakakombwa nevanondinyomba,+

Uye ziso rangu ngarirambe riri pakupanduka kwavari kuita.

 3 Ndapota, gamuchirai chandiri kukupai kuti mufanobata uye chichengetei.

Ndianizve achabatana maoko neni kuti aite mhiko yekundibatsira?+

 4 Nekuti makaita kuti mwoyo yavo itadze kunzwisisa;+

Ndokusaka musingavakwidziridzi.

 5 Iye angasarudza kugovana zvinhu neshamwari dzake,

Asi maziso evana vake achineta nenzara.

 6 Iye akandiita chiseko* pakati pemarudzi,+

Zvekuti vava kundisvipira mate kumeso.+

 7 Maziso angu haachaoni nemhaka yekurwadziwa,+

Uye nhengo dzangu dzese dzaita semumvuri.

 8 Vanhu vakarurama vanoramba vakatarisa zvichivashamisa,

Uye munhu asina mhosva anogumburwa nevanhu vasingadi Mwari.*

 9 Munhu akarurama anoramba ari munzira yake,+

Uye munhu ane maoko akachena anowedzera kusimba.+

10 Asi imi mese munogona kuuya motangazve kutaura,

Nekuti handina kuwana akachenjera pakati penyu.+

11 Mazuva angu apera;+

Zvirongwa zvangu, zvido zvemwoyo wangu zvaparara.+

12 Vanoramba vachiita kuti usiku huve masikati,

Vachiti, ‘Chiedza chinofanira kunge chava pedyo nekuti kune rima.’

13 Kana ndikamirira, Guva* richava imba yangu;+

Ndichawaridza mubhedha wangu murima.+

14 Ndichashevedzera kugomba*+ ndichiti, ‘Ndiwe baba vangu!’

Kuhonye ndichiti, ‘Ndiwe amai vangu nehanzvadzi yangu!’

15 Saka tariro yangu iri kupi?+

Ndiani ari kuona ndiine tariro?

16 Ichadzika* kumazariro* emagedhi eGuva,*

Patichadzika tese muguruva.”+

18 Bhiridhadhi+ muShuhi akapindura achiti:

 2 “Muchasvika riini muchingotaura zvakadaro?

Ratidzai kuti munonzwisisa, kuti tizotaura.

 3 Neiko muchitiona semhuka+

Uye setakapusa?*

 4 Kunyange ukazvidambura-dambura* wakashatirwa,

Nyika ichasara isina vanhu nemhaka yako here,

Kana kuti dombo richabva panzvimbo yaro here?

 5 Chokwadi chiedza cheakaipa chichadzimwa,

Uye rimi remoto wake harizobaki.+

 6 Chiedza chiri mutende rake chichasviba,

Uye rambi rake richadzimwa.

 7 Nhanho dzaari kukanda nesimba dzadzorwa,

Uye zano rake richaita kuti adonhe.+

 8 Nekuti tsoka dzake dzichamupinza mumambure,

Achadzungaira achipinda mumambure.

 9 Achabatwa nechiteyeso pachitsitsinho;

Musungo uchamubata.+

10 Akateyerwa tambo muvhu,

Uye akateyiwa munzira yake.

11 Achavhundutswa nezvinhu zvinotyisa kumativi ake ese,+

Zvomudzingirira zvakati name name naye.

12 Simba rake rinopera,

Uye njodzi+ ichaita kuti adzedzereke.*

13 Ganda rake rinodyiwa-dyiwa;

Chirwere chinouraya chinodya* nhengo dzemuviri wake.

14 Achabviswa mutende rake rakachengeteka,+

Oendeswa kuna mambo wekutyisa kukuru.*

15 Vatorwa vachagara* mutende rake;

Sarufa ichapararira pamba pake.+

16 Midzi yake ichaoma iri pasi pake,

Uye kumusoro kwake mapazi ake achaoma.

17 Haazorambi achiyeukwa panyika,

Uye zita rake harizozivikanwi* mumigwagwa.

18 Achabviswa muchiedza achiendeswa murima,

Odzingwa panyika.

19 Achange asina vana kana vazukuru pakati pevanhu vake,

Uye hapana achasara achigara paanogara.

20 Zuva rake parinosvika, vanhu vari kuMavirira vachavhunduka

Uye vanhu vari kuMabvazuva vachabatwa nekutya.

21 Izvi ndizvo zvinoitika kumatende emunhu anoita zvakaipa

Uye kuimba yemunhu asingazivi Mwari.”

19 Jobho akapindura achiti:

2 “Mucharamba muchishungurudza mweya wangu*+ kusvikira riini,

Muchindipwanya nemashoko?+

 3 Mandituka* kagumi aka;

Hamunyari kundibata zveutsinye.+

 4 Uye kana paine chandakakanganisa zvechokwadi,

Chivi changu chichangoramba chiri changu.

 5 Kana mukaramba muchizvikwidziridza pamusoro pangu,

Muchiona sekuti zvakakodzera kuti munditsoropodze,

 6 Ibvai maziva kuti Mwari ndiye akanditsausa,

Uye akandibata mumambure ake ekuvhimisa.

 7 Onai! Ndinoramba ndichishevedzera kuti, ‘Ndakuvadzwa!’ asi handipindurwi;+

Ndinoramba ndichichemera kubatsirwa, asi hapana anonditonga zvakarurama.+

 8 Akavhara nzira yangu nerusvingo rwematombo, uye handikwanisi kupfuura;

Akaita kuti migwagwa yangu ive rima rega rega.+

 9 Akabvisa kukudzwa kwangu

Uye akabvisa korona mumusoro mangu.

10 Anondipwanya kumativi ese kusvikira ndaparara;

Anodzura tariro yangu semuti.

11 Anondivirukira nehasha,

Uye anondiona semuvengi wake.+

12 Mauto ake anoungana ondikomba,

Uye anodzika musasa akakomberedza tende rangu.

13 Akadzingira hama dzangu kure neni,

Uye vaya vanondiziva vandisiya.+

14 Shamwari dzangu dzepedyo* hadzisisipo,

Uye vaya vandainyatsoziva vandikanganwa.+

15 Vaenzi vari mumba mangu+ nevarandasikana vangu vanondiona semumwe munhuwo zvake;

Vanondiona semubvakure.

16 Ndinoshevedza mushandi wangu, asi haadavire;

Ndinomukumbira nemuromo wangu kuti andinzwire tsitsi.

17 Mweya unobuda mukanwa mangu wava kusemesa mudzimai wangu,+

Uye ndava kunhuhwira vana vaamai vangu chaivo.

18 Kunyange vana vadiki vanondizvidza;

Pandinosimuka, vanotanga kudanidzira vachindinyomba.

19 Shamwari dzangu dzepedyo dzese dzinondisema,+

Uye vaya vandaida vandipandukira.+

20 Mapfupa angu anamatirana neganda rangu nenyama yangu,+

Uye ndinopona nepaburi retsono.*

21 Ndinzwireiwo tsitsi, shamwari dzangu, ndinzwireiwo tsitsi,

Nekuti ndabatwa neruoko rwaMwari.+

22 Munorambireiko muchinditambudza sezviri kuitwa naMwari,+

Muchingondirwisa musingazorori?*+

23 Dai mashoko angu ainyorwa hawo pasi,

Dai ainyorwa mubhuku!

24 Dai aiita zvekutemerwa padombo

Nechinyoreso chesimbi nemutobvu!

25 Nekuti ndinonyatsoziva kuti mudzikinuri wangu+ mupenyu;

Achazouya, omira pamusoro penyika.*

26 Pashure pekunge ganda rangu raparadzwa saizvozvo,

Ndichiine nyama yangu, ndichaona Mwari,

27 Wandichazvionera ndega,

Wandichaona nemaziso angu, kwete emumwe munhu.+

Asi mukatikati mangu zviri kundikurira.*

28 Nekuti munoti, ‘Tiri kumutambudza pakudii?’+

Sezvo mudzi wedambudziko racho ndiri ini.

29 Ityai bakatwa,+

Nekuti bakatwa rinoranga vakanganisa;

Munofanira kuziva kuti kune mutongi.”+

20 Zofari+ muNaama akapindura achiti:

 2 “Pfungwa dzangu dzinondinetsa dziri kundituma kuti ndipindure

Nekuti ndiri kushungurudzika.

 3 Ndanzwa mashoko ekutsiura andituka;

Uye kunzwisisa kwandinoita kuri kuita kuti ndide kupindura.

 4 Haungati wagara usingazvizivi,

Nekuti ndizvo zvazvagara zviri kubvira pakaiswa munhu* panyika,+

 5 Kuti kupembera kwevanhu vakaipa ndekwenguva pfupi

Uye kuti kufara kwemunhu asingadi Mwari* ndekwechinguvana.+

 6 Kunyange zvazvo ukuru hwake huchikwira kudenga

Uye musoro wake uchisvika kumakore,

 7 Achaparara zvachose sezvinoita tsvina* yake;

Vaya vaimuona vachati, ‘Ari kupi?’

 8 Achabhururuka oenda sechiroto, uye havazomuwani;

Achadzingwa sechiratidzo cheusiku.

 9 Ziso rakambomuona harizomuonizve,

Uye musha wake hauzomuonizve.+

10 Vana vake vachatsvaga kunzwirwa nyasha nevarombo,

Uye maoko ake achadzorera pfuma yake.+

11 Mapfupa ake akanga akazara simba reudiki,

Asi richarara pamwe chete naye muguruva.

12 Kana zvakaipa zvichitapira mukanwa make,

Kana achizviviga pasi perurimi rwake,

13 Kana achinakirwa nazvo, asingazvisiyi

Asi achiramba ainazvo mukanwa make,

14 Zvekudya zvake zvichavava zviri mukati make;

Zvichaita seuturu hwemhungu* maari.

15 Akamedza pfuma, asi achairutsa;

Mwari achaibudisa mudumbu make.

16 Achasveta uturu hwemhungu;

Mazino enyoka achamuuraya.

17 Haazombooni nzizi dzemvura,

Uchi neruomba zvinoyerera.

18 Achadzorera zvinhu zvake asina kumbozvidya;*

Haazofadzwi nepfuma yaanowana paanenge atengesa zvinhu zvake.+

19 Nekuti akapwanya varombo akavarasa;

Akapamba imba yaasina kuvaka.

20 Asi haazogadzikani mukati make;

Pfuma yake haizomubatsiri kupukunyuka.

21 Hapana chasara chekuti abvute;

Ndokusaka asingazorambi achibudirira.

22 Pfuma yake painenge yawanda chaizvo, achatanga kuzvidya mwoyo;

Zvinhu zvese zvakaipa zvichamuwira.

23 Paanenge achizadza dumbu rake,

Mwari achamutumira kutsamwa kwake kukuru,

Achikunayisira paari kuchipinda muura hwake.

24 Paachatiza zvombo zvesimbi,

Miseve inobva pauta hwemhangura ichamubvoora.

25 Anozvomora museve kumusana kwake,

Chombo chinopenya changa chapinda munduru yake,

Obva atanga kutya.+

26 Rima gobvu rakamirira pfuma yake;

Moto usina kupfutidzwa nemunhu uchamuparadza;

Dambudziko rakamirira vese vanenge vapona mutende rake.

27 Denga richabudisa pachena chivi chake;

Nyika ichamupandukira.

28 Mafashamo achakukura imba yake;

Pachava nekutsvotsvoma pazuva rekutsamwa kwaMwari.*

29 Uyu ndiwo mugove wemunhu akaipa unobva kuna Mwari,

Nhaka yaakanzi naMwari ndeyake.”

21 Jobho akapindura achiti:

2 “Nyatsoteererai zvandiri kutaura;

Uku ndiko kunyaradza kwamungatondiita.

 3 Ndimirirei ndipedze kutaura;

Kana ndapedza kutaura, mozondituka henyu.+

 4 Ko ini ndiri kutaura zvinondinetsa kumunhu here?

Dai ndaidaro, ndingadai ndisina kuneta here?

 5 Nditarisei uye rambai makanditarisa muchishamiswa;

Batai miromo yenyu.

 6 Pandinofunga nezvazvo, ndinonetseka,

Uye muviri wangu wese unobvunda.

 7 Nei vakaipa vachiramba vachirarama,+

Vachikwegura, uye vachipfuma?*+

 8 Vanoramba vachiona vana vavo,

Uye vanotosvika pakuona vazukuru vavo.

 9 Dzimba dzavo dzakachengeteka, havana chekutya,+

Uye Mwari haavarangi neshamhu yake.

10 Mikono yavo haitadzi kuberekesa;

Mhou dzavo dzinobereka uye hadzisvodzi.

11 Vakomana vavo vanomhanya-mhanya panze semakwai,

Uye vana vavo vanosvetuka-svetuka.

12 Vanoimba vachiridza matambureni nezviridzwa zvine tambo*

Uye vanofara vachinzwa kurira kwenyere.*+

13 Vanogutsikana neupenyu hwavo mazuva avo ese

Uye vanopinda muGuva* nerugare.*

14 Asi vanoti kuna Mwari wechokwadi, ‘Siyanai nesu!

Hatidi kuziva nzira dzenyu.+

15 Wemasimbaose ndiani, kuti timushumire?+

Tinowanei kana tikazivana naye?’+

16 Asi ndinoziva kuti kubudirira kwavo hakubvi pasimba ravo.+

Mafungiro* evakaipa ari kure neni.+

17 Kangani panodzimwa rambi revakaipa?+

Kangani pavanowirwa nenjodzi?

Kangani Mwari paanovaparadza akatsamwa?

18 Vanomboitawo here seshanga rinopeperetswa nemhepo

Uye sehundi inotorwa nedutu?

19 Mwari achachengeta chirango chemunhu ozochipa vanakomana vake.

Asi dai Mwari atsiva iye wacho kuti azozviziva.+

20 Maziso ake iye pachake ngaaone kuparara kwake,

Uye iye wacho ngaanwe hasha dzeWemasimbaose.+

21 Nekuti zvinozoitika kuimba yake kana iye asisipo zvine basa rei kwaari

Kana mwedzi yake yatapudzwa?*+

22 Pane anogona kupa Mwari ruzivo here,*+

Iye ari iye anotonga kunyange vakakwirira?+

23 Mumwe munhu anofa achiine simba rake rese+

Paanenge asinganetseki uye akagara zvakanaka,+

24 Aine zvidya zvakavharwa nemafuta

Uye mapfupa ake akasimba.*

25 Asi mumwe munhu anofa achishungurudzika,*

Asina kumboravidza zvinhu zvakanaka.

26 Vese vari vaviri vacharara muguruva,+

Uye honye dzichavafukidza vese.+

27 Ini ndinonyatsoziva zvamuri kufunga

Nemazano amunoronga kuti munditadzire.*+

28 Nekuti munoti, ‘Imba yemunhu akakurumbira iri kupi,

Uye tende raigara munhu akaipa riri kupi?’+

29 Hamuna kunyatsobvunza vafambi here?

Hamunyatsoongorori maonero avo* here,

30 Kuti munhu akaipa anosiyiwa ari mupenyu pazuva renjodzi

Uye anonunurwa pazuva rekushatirwa?

31 Ndiani achamutongesa nezvenzira yake,

Uye ndiani achamutsiva zvaakaita?

32 Paanotakurwa achiendeswa kumakuva,

Paguva rake pachaiswa murindi.

33 Achanakirwa nemavhinga evhu remubani,+

Uye vanhu vese vanomutevera ikoko*+

Sezvakaita vamwe vasingaverengeki vakamutangira.

34 Saka muri kundinyaradzirei nemashoko asina zvaanobatsira?+

Mashoko enyu ndeekunyengera ega ega!”

22 Erifazi+ muTemani akapindura achiti:

 2 “Munhu ane zvaanobatsira here kuna Mwari?

Chero ani zvake ane njere ane zvaangabatsira here kwaari?+

 3 Wemasimbaose ane basa* nekururama kwako here,

Uye ane chaanowana here nekuti iwe unoramba wakaperera kwaari?+

 4 Achakuranga here,

Otongana newe nekuti unomutya?

 5 Hakusi kuti here uipi hwako hwakanyanya kukura

Uye unongoramba uchikanganisa?+

 6 Nekuti unotorera hama dzako chekufanobata pasina chikonzero,

Uye unopfekenura nguo dzevanhu, uchivasiya vasina kupfeka.*+

 7 Haupi munhu akaneta mvura yekunwa,

Uye unonyima munhu ane nzara zvekudya.+

 8 Nyika ndeyemunhu ane simba,+

Uye anofarirwa ndiye anogara mairi.

 9 Asi wakaendesa chirikadzi dzichingova maoko,

Uye wakapwanya maoko enherera.

10 Ndokusaka wakakomberedzwa nezviteyeso,*+

Uye uchingoerekana wavhundutswa nezvinotyisa;

11 Ndokusaka kuine rima zvekuti hausi kukwanisa kuona,

Uye uchifukidzwa nemafashamo emvura.

12 Mwari haasi kudenga kwakakwirira here?

Uye ona kuti nyeredzi dzese dziri kudenga denga zvakadii.

13 Asi iwe wakati: ‘Mwari anozivei?

Angatonga nemurima gobvu here?

14 Makore akamuvharidzira zvekuti haaoni

Paanenge achifamba-famba padenderedzwa redenga.’

15 Uchatevera nzira yekare kare

Yakafambwa nevanhu vakaipa here?

16 Varume vakabvutwa* nguva yavo isati yasvika,

Vane nheyo dzakakukurwa nemafashamo.*+

17 Vaiti kuna Mwari wechokwadi: ‘Siyanai nesu!’

Uye ‘Wemasimbaose angatiitei?’

18 Asi ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka.

(Mafungiro akaipa kudaro ari kure neni.)

19 Vakarurama vachaona izvi vofara,

Uye vasina mhosva vachavanyomba voti:

20 ‘Vavengi vedu vaparadzwa,

Uye moto uchaparadza zvinhu zvavo zvasara.’

21 Muzive,* uye uchava nerugare;

Uchabva wawana zvinhu zvakanaka.

22 Gamuchira mutemo unobva mumuromo make,

Uye chengeta mashoko ake mumwoyo mako.+

23 Kana ukadzokera kune Wemasimbaose, uchadzorerwa pawaiva;+

Kana ukabvisa zvisina kururama mutende rako,

24 Kana ukakanda goridhe rako muguruva

Uye ukakanda goridhe rekuOfiri+ mumakoronga ane* matombo,

25 Wemasimbaose achabva ava goridhe rako,

Uye achava sirivha yako yakanakisisa.

26 Nekuti uchange wava kufadzwa neWemasimbaose,

Uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.

27 Uchamuteterera, uye achakunzwa;

Uye ucharipa mhiko dzako.

28 Chese chauchasarudza kuita chichabudirira,

Uye chiedza chichavhenekera nzira yako.

29 Nekuti uchaninipiswa paunotaura uchizvikudza,

Asi iye achaponesa munhu anozvininipisa.*

30 Achanunura vaya vasina mhosva;

Saka kana maoko ako akachena, zvechokwadi uchanunurwa.”

23 Jobho akapindura achiti:

2 “Kunyange nanhasi ndinonyunyuta chete;+

Simba rangu rapera nekugomera kwandiri kuita.

 3 Dai ndaiziva kunowanikwa Mwari!+

Ndaienda kwaanogara.+

 4 Ndaitaura nyaya yangu pamberi pake,

Ndozadza muromo wangu nemashoko ekumupindura;

 5 Ndaidzidza mapinduriro aanondiita,

Ndobata zvaanondiudza.

 6 Angapikisana neni achishandisa simba rake guru here?

Aiwa, haangambotadza kunzwa nyaya yangu.+

 7 Ikoko munhu akarurama anogona kutongerwa nyaya yake,

Uye ndaizobva kuMutongi wangu ndasunungurwa pamhosva zvachose.

 8 Asi ndikaenda kumabvazuva, haako;

Uye ndikadzoka, handimuwani.

 9 Paanenge achishanda ari kuruboshwe, handigoni kumutarisa;

Anobva aenda kurudyi, asi handimuoni.

10 Asi anoziva nzira yandakatora.+

Pashure pekunge andiedza, ndichabuda ndaita segoridhe rakanatswa.+

11 Tsoka dzangu dzinonyatsotevera munotsika tsoka dzake;

Ndinoramba ndichitevera nzira yake ndisingatsauki.+

12 Handibvi pamurayiro wemiromo yake.

Ndakachengeta mashoko ake+ kupfuura zvandaifanira kuita.

13 Kana achida kuita chimwe chinhu, ndiani angamudzivisa?+

Kana paine chaanenge achida kuita, anochiita.+

14 Nekuti achaita zvese zvaakandirongera,

Uye ane zvakawanda zvaakandirongera zvaachada kuita.

15 Ndokusaka ndichinetseka nemhaka yake;

Pandinofunga nezvake, ndinowedzera kutya.

16 Mwari aita kuti ndishaye ushingi,

Uye Wemasimbaose aita kuti nditye.

17 Asi handisati ndanyararidzwa nerima

Kana kunyararidzwa nerima gobvu rakafukidza chiso changu.

24 “Neiko Wemasimbaose asina kutara nguva yekutonga?+

Nei vaya vanomuziva vasingaoni zuva rake?*

 2 Vanhu vanochinja zviratidzo zvemiganhu;+

Vanoba makwai voenda nawo kumafuro avo.

 3 Vanotinha dhongi renherera voenda naro

Uye pavanokweretesa chirikadzi, vanoibatira mombe yayo.+

 4 Vanoita kuti varombo vabude mumugwagwa;

Vasina mubatsiri panyika vanofanira kuvahwanda.+

 5 Varombo vanotsvaga zvekudya murenje semadhongi emusango;+

Vanotsvagira vana vavo zvekudya mugwenga.

 6 Vanotofanira kukohwa muminda yevamwe*

Uye vanonhonga zvinenge zvasara muminda yemizambiringa yevakaipa.

 7 Vanorara usiku hwese vakashama, vasina chekupfeka;+

Havana chekufuka muchando.

 8 Vanotota nemvura yemumakomo;

Vanoti kwati kwati nematombo vachishaya pekuhwanda.

 9 Nherera inobvutwa pazamu raamai vayo;+

Uye zvipfeko zvevarombo zvinotorwa kuti zvifanobatwa vachipiwa chikwereti,+

10 Zvoita kuti vafambe vakashama, vasina kupfeka,

Uye vaine nzara, vachitakura zvisote zvezviyo.

11 Vanofondoka kuchipisa muminda ine zvidziro iri mumateru emakomo;*

Vanotsika-tsika mazambiringa muchisviniro chewaini, asi vanofa nenyota.+

12 Vaya vari kufa vari kungogomera muguta;

Vaya vakuvadzwa zvekufa vari* kuchema vachida kubatsirwa,+

Asi Mwari haaoni sepane chakaipa.*

13 Pane vaya vanopandukira chiedza;+

Havana basa nenzira dzacho,

Uye havateveri nzira dzacho.

14 Mhondi inomuka kwaedza;

Inouraya asina mubatsiri nemurombo,+

Kana hwava usiku inotanga kuba.

15 Ziso remhombwe rinomirira kuti zuva rivire,+

Ichiti, ‘Hapana anenge achindiona!’+

Uye inozvifukidza kumeso.

16 Murima, vanopaza vachipinda* mudzimba;

Kana ari masikati vanozvipfigira mukati.

Chiedza havatombochizivi.+

17 Nekuti kwavari mangwanani akafanana nerima gobvu;

Chavanoziva kutyisa kwerima gobvu.

18 Asi vanokukurwa nemvura nekukurumidza.*

Munda wavo uchatukwa.+

Havazodzoki kuminda yavo yemizambiringa.

19 Kupedzwa kunoitwa chando chinenge chanyunguduka kana kusinganayi uye kuchipisa,

Ndiko kupedzwa kunoitwa neGuva* vaya vanenge vaita chivi!+

20 Amai vake vachamukanganwa;* honye dzichaita mabiko paari.

Haazoyeukwizve.+

Uye kusarurama kuchatyorwa semuti.

21 Anoitira zvakaipa mukadzi asingabereki,

Uye anobata zvakaipa chirikadzi.

22 Mwari achashandisa simba rake kubvisa vane simba;

Kunyange vangakwirira, havana chokwadi neupenyu hwavo.

23 Mwari* anovarega vachiva nechivimbo vakachengeteka,+

Asi maziso ake ari pazvese zvavanoita.*+

24 Vanokudzwa kwekanguva, vobva vaparara.+

Vanodzikiswa+ uye vanounganidzwa sezvinongoitwa munhu wese;

Vanochekwa sehura* dzezviyo.

25 Saka ndiani achati ndiri kunyepa

Kana kuti angaramba mashoko angu?”

25 Bhiridhadhi+ muShuhi akapindura achiti:

 2 “Kutonga uye simba rinotyisa ndezvake;

Anoita kuti kudenga* kuve nerugare.

 3 Mauto ake anoverengeka here?

Ndiani asingabudirwi nechiedza chake?

 4 Saka munhuwo zvake anofa angava sei akarurama pamberi paMwari,+

Kana kuti munhu akazvarwa nemukadzi angava sei asina mhosva?*+

 5 Kunyange mwedzi hauna kujeka

Uye nyeredzi hadzina kuchena pamberi pake,

 6 Ko kuzoti munhuwo zvake anofa, honye zvayo,

Uye mwanakomana wemunhu, gonye zvaro!”

26 Jobho akapindura achiti:

2 “Inga unogona kubatsira munhu asina simba!

Inga unogona kuponesa ruoko rusina simba!+

 3 Inga wapa zano rinobatsira chaizvo munhu asina uchenjeri!+

Inga wanyatsoratidza kuti une mazano euchenjeri!

 4 Ndiani wauri kuedza kutaura naye,

Uye ndiani akakufemera kuti utaure zvakadaro?

 5 Vaya vasina simba murufu vanodedera;

Vari pakadzika kupfuura kunyange mvura nezvinhu zvinogara mairi.

 6 Guva harina* kupfeka pamberi paMwari,*+

Uye nzvimbo yekuparadzwa* haina kufukidzwa.

 7 Anotatamura denga rekuchamhembe* panzvimbo isina chinhu,+

Achirembedza nyika pasina chinhu;

 8 Anoputira mvura mumakore ake,+

Zvekuti makore haaputiki nekuremerwa nayo;

 9 Anovharidzira chigaro chake cheumambo,

Achitambanudza gore rake pamusoro pacho.+

10 Anotara panosangana denga nenyika* pamusoro pemvura;+

Anoisa muganhu pakati pechiedza nerima.

11 Mbiru dzedenga chaidzo dzinozununguka;

Dzinovhunduka nekutuka kwake.

12 Anonyandura gungwa nesimba rake,+

Uye anodimbura-dimbura zimhuka remugungwa* nekunzwisisa kwake.+

13 Anoita kuti denga richene nekufema kwemuromo wake;*

Ruoko rwake runobaya nyoka inotsvedza.

14 Onai! Izvi zvinongova mupendero wenzira dzake;+

Zvatinonzwa nezvake kanongova kazevezeve!

Saka ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”+

27 Jobho akaenderera mberi nekutaura kwake* achiti:

 2 “NaMwari mupenyu, asina kunditonga zvakarurama,+

NeWemasimbaose mupenyu, ari kuita kuti ndishungurudzike,*+

 3 Chero bedzi ndichiri kufema

Uye mweya* unobva kuna Mwari uchiri mumhino dzangu,+

 4 Miromo yangu haizotauri zvisina kururama;

Uye rurimi rwangu haruzotauri zvinonyengera!

 5 Hazviiti kuti nditi varume imi makarurama!

Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu* kuna Mwari!+

 6 Ndicharamba ndichiita zvakarurama uye handizoregi kuzviita;+

Mwoyo wangu hauzondipi mhosva chero ndichiri mupenyu.

 7 Muvengi wangu ngaave sevakaipa,

Vaya vari kundinyomba ngavave sevanhu vasina kururama.

 8 Nekuti munhu asingadi Mwari* ane tariro yei kana aparadzwa,+

Kana Mwari atora upenyu hwake?*

 9 Mwari achamunzwa here paanochema

Kana awirwa nedambudziko?+

10 Kana kuti achafarira Wemasimbaose here?

Achashevedzera kuna Mwari nguva dzese here?

11 Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari;*

Hapana chandichavanza nezveWemasimbaose.

12 Zvino kana imi mese makaona zviratidzo,

Muri kutaurireiko mashoko asingabatsiri?

13 Uyu ndiwo mugove wemunhu akaipa unobva kuna Mwari,+

Nhaka yevadzvinyiriri inobva kune Wemasimbaose.

14 Kana vanakomana vake vakawanda, vanopera nebakatwa,+

Uye vazukuru vake vachashaya zvekudya zvinovakwanira.

15 Vamwe vake vanenge vasara vachavigwa nedenda,

Uye chirikadzi dzavo hadzizovachemi.

16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva

Uye akaunganidza zvipfeko zvakanaka seari kuunganidza ivhu,

17 Kunyange akazviunganidza,

Munhu akarurama ndiye achazvipfeka,+

Uye munhu asina mhosva ndiye achagova sirivha yake.

18 Imba yaanovaka inoparara nyore nyore seyechitemamachira,*

Sedumba+ rakagadzirwa nemurindi.

19 Achaenda kunorara akapfuma, asi hapana chaachaunganidza;

Paanosvinura, hapana chinenge chiripo.

20 Zvinhu zvinovhundutsa zvichamusvikira semafashamo;

Dutu richamubvuta usiku.+

21 Mhepo yekumabvazuva ichamutakura, uye anenge asisipo;

Inomutsvaira ichimubvisa paanogara.+

22 Ichamuvhuvhutira isinganzwi tsitsi+

Paanenge achiedza kutiza simba rayo.+

23 Inomurovera maoko,

Yomuridzira muridzo+ iri panzvimbo payo.*

28 “Pane nzvimbo inocherwa sirivha

Nenzvimbo yegoridhe ravanonatsa;+

 2 Simbi inotorwa muvhu,

Uye mhangura inodururwa ichibva mumatombo.+

 3 Munhu anokunda rima;

Anopinda murima gobvu achisvika kumicheto yese,

Achitsvaga dombo.

 4 Anochera mugodhi kure nekunogara vanhu,

Kunzvimbo dzakakanganwika, dziri kure nekunofambwa nevanhu;

Vamwe varume vanodzika pasi vorembera.

 5 Zvekudya zvinobuda pamusoro penyika;

Asi pasi payo, pari kushandurwa-shandurwa sekunge iri mumoto.*

 6 Mumatombo iwayo mune safaya,

Uye guruva rine goridhe.

 7 Hapana gondo rinoziva nzira inoendako;

Ziso rengavi nhema harisati raiona.

 8 Hapana chikara chikuru chati chaitsika;

Shumba ine simba haisati yambonyahwaira ikoko.

 9 Munhu anorova dombo rakaomarara neruoko rwake;

Anopidigura makomo nechepasi pawo.

10 Anochera migero yemvura+ mudombo;

Maziso ake anoona chinhu chese chinokosha.

11 Anogadzira madhamhu panotangira nzizi

Uye anoisa pachiedza chinhu chakavanzwa.

12 Asi uchenjeri hungawanikwa kupi?+

Uye kunzwisisa kunobva kupi?+

13 Hakuna munhu anoziva ukoshi hwahwo,+

Uye hahukwanisi kuwanika munyika yevapenyu.

14 Mvura yakadzika inoti, ‘Hahusi mandiri!’

Uye gungwa rinoti, ‘Handisiri ini ndinahwo!’+

15 Hahugoni kutengwa negoridhe rakanatswa;

Uye sirivha haigoni kuyerwa kuti ichinjaniswe nahwo.+

16 Hahugoni kutengwa negoridhe rekuOfiri+

Kana nematombo asingawanzowaniki eonikisi nesafaya.

17 Goridhe negirazi hazvigoni kuenzaniswa nahwo;

Hapana kana mudziyo wegoridhe rakanatswa ungachinjaniswa nahwo.+

18 Matombo ekorari nekristaro haatomboverengwi,+

Nekuti homwe izere neuchenjeri inokosha kupfuura izere nemaparera.

19 Topazi+ yekuKushi haingaenzaniswi nahwo;

Hahungatengwi kunyange negoridhe rakanatswa.

20 Asi uchenjeri hunobva kupi?

Uye kunzwisisa kunobva kupi?+

21 Hwakavanzirwa maziso echinhu chese chipenyu+

Uye hwakavanzirwa shiri dzekudenga.

22 Kuparadza nerufu zvinoti,

‘Nzeve dzedu dzakangoita zvekunzwa chete nezvahwo.’

23 Mwari anonzwisisa nzira yekuhuwana;

Iye chete ndiye anoziva kwahunogara,+

24 Nekuti anotarisa kunogumira nyika,

Uye anoona zvese zviri pasi pedenga.+

25 Paakapa mhepo simba rayo*+

Uye paakayera mvura,+

26 Paakapa mvura inonaya murau+

Uye gore redutu rine mabhanan’ana nzira yaro,+

27 Akabva aona uchenjeri, ndokutsanangura zvahuri;

Akahutanga, ndokuhuedza.

28 Uye akati kumunhu:

‘Inzwa! Kutya Jehovha ndihwo uchenjeri,+

Uye kusiyana nezvakaipa ndiko kunzwisisa.’”+

29 Jobho akaenderera mberi nekutaura kwake* achiti:

 2 “Dai ndaiva mumwedzi yakapfuura,

Mumazuva andaichengetedzwa naMwari,

 3 Paaiita kuti rambi rake rivheneke pamusoro wangu,

Pandaifamba nemurima ndichivhenekerwa nechiedza chake,+

 4 Pandakanga ndichiri kuzvinzwa,

Ushamwari naMwari huchinzwika mutende rangu,+

 5 Wemasimbaose paakanga achiineni,

Ndakakomberedzwa nevana* vangu vese,

 6 Tsoka dzangu dzichigeza muruomba,

Uye matombo achindibudisira hova dzemafuta.+

 7 Pandaienda kugedhi reguta+

Ndichigara munzvimbo inoungana vanhu,+

 8 Majaya aindiona onditsaukira,*

Uye kunyange harahwa dzaindisimukira dzoramba dzimire.+

 9 Machinda airamba akanyarara;

Aibata miromo yawo.

10 Manzwi evanhu vakakurumbira aisanzwika;

Rurimi rwavo rwainamatira mukanwa mavo.

11 Munhu wese aindinzwa aitaura zvakanaka nezvangu,

Uye vaya vaindiona vaindipupurira.

12 Nekuti ndaibatsira varombo vaiva nezvichemo,+

Pamwe nenherera nemunhu wese akanga asina mubatsiri.+

13 Munhu anenge ava kuda kuparara aindikomborera,+

Uye ndaiita kuti mwoyo wechirikadzi ufare.+

14 Ndaipfeka kururama sezvandinoita chipfeko;

Kutonga kwangu zvakarurama kwakanga kwakaita senguo* uye ngowani.

15 Ndaiva maziso ebofu

Uye ndaiva tsoka kune akaremara.

16 Ndaiva baba kuvarombo;+

Ndaiongorora nyaya dzainge dzaunzwa kumatare nevanhu vandisingazivi.+

17 Ndaityora shaya dzemutadzi+

Uye ndaimubvutira chaakabata nemazino ake.

18 Ndaiwanzoti, ‘Ndichafira mumba mangu,*+

Uye mazuva angu achawanda sejecha.

19 Midzi yangu ichasvika mumvura,

Uye dova richapedza usiku hwese riri pamapazi angu.

20 Kukudzwa kwangu kunoramba kuchiitwa kutsva,

Uye uta huri muruoko rwangu hucharamba huchipfura.’

21 Vanhu vainyatsoteya nzeve,

Vachimirira vakanyarara kuti nditaure zano rangu.+

22 Ndaiti ndikataura, vaisara vasina chimwe chekuwedzera;

Mashoko angu aidzika zvinyoronyoro munzeve dzavo.

23 Vaindimirira sevari kumirira kuti mvura inaye;

Vaivhura miromo yavo kuti vanwe mashoko angu sevari kushamira mvura yemasutso.*+

24 Pandaivanyemwerera, vaisazvibvuma;

Kujeka kwechiso changu kwaivasimbisa.*

25 Ndaivatungamirira semukuru wavo,

Uye ndaigara samambo ari pakati pevarwi vake,+

Semunhu anonyaradza vanochema.+

30 “Iye zvino vava kundiseka,+

Varume vadiki kwandiri,

Vane vanababa vandaizoramba

Kuisa pamwe chete nembwa dzaichengetedza makwai angu.

 2 Simba remaoko avo raindibatsirei?

Simba ravo raparara.

 3 Vasakadzwa nenhamo, nenzara;

Vanon’un’una zvinhu zviri muvhu rakaoma

Rava matongo uye rakaparadzwa.

 4 Vanotemha mashizha anovava mumakwenzi;

Zvekudya zvavo midzi yemiti yemugwenga.

 5 Vanodzingwa pakati pevanhu;+

Vanhu vanoshevedzera kwavari sezvavanoita mbavha.

 6 Vanogara mumakoronga,

Mumakomba ari muvhu nemumatombo.

 7 Vanochema vari mumakwenzi

Uye vanoungana murukato.

 8 Sevanakomana vebenzi uye vemunhu asingazivikanwi,

Vakadzingwa panyika.

 9 Asi iye zvino vava kundinyomba kunyange munziyo dzavo;+

Ndava chiseko* kwavari.+

10 Vanondisema uye vanotambira kure neni;+

Havazezi kundisvipira kumeso.+

11 Mwari anditorera zvombo zvandaishandisa* uye andininipisa,

Saka havachazvidzori pamberi pangu.

12 Kurudyi rwangu vanosimuka semhomho;

Vanoita kuti nditize

Uye vanoisa zvinhu zvinondipiringisha munzira yangu kuti ndiparare.

13 Vanoparadza migwagwa yangu

Uye vanowedzera dambudziko rangu,+

Pasina kana anovarambidza.*

14 Vanouya vachiita sevari kupinda nepamadziro akadhirika;

Vanodirana vachipinda makaparadzwa.

15 Kutya kwandikunda;

Kukudzwa kwangu kwabviswa semhepo,

Uye ruponeso rwangu runonyangarika segore.

16 Iye zvino upenyu hwangu hwava kupera;+

Mazuva ekutambudzika+ andibata.

17 Mapfupa angu anondirwadza achibaya-baya* usiku;+

Marwadzo acho anondin’un’una asingambonyarari.+

18 Chipfeko changu chaunyanidzwa-unyanidzwa zvine simba;*

Chinondidzipa sekora yechipfeko changu.

19 Mwari andiwisira mumadhaka;

Ndava guruva nemadota.

20 Ndinochema kwamuri kuti mundibatsire, asi hamundipinduri;+

Ndinosimuka, asi munongonditarisa.

21 Mandipandukira zveutsinye;+

Munondirova nesimba rese reruoko rwenyu.

22 Munondisimudza nemhepo, mondiendesa kure;

Mondikanda-kanda mudutu.

23 Nekuti ndinoziva kuti muchandidzikisa murufu,

Kuimba ichasangana vanhu vese vapenyu.

24 Asi hapana anorova munhu akatyoka+

Anenge achichema achida kubatsirwa panguva yenhamo.

25 Handina here kuchema vaya vakasangana nenguva yakaoma?

Handina* here kuchema varombo?+

26 Kunyange ndaitarisira zvakanaka, kwakauya zvakaipa;

Ndaitarisira chiedza, asi kwakauya rima.

27 Kumona-mona kuri kuita mukati mangu hakuna kumira;

Mazuva ekutambudzika akanangana neni.

28 Ndinofamba ndakasuruvara;+ hakuna zuva.

Pakati peungano, ndinosimuka ndochemera kubatsirwa.

29 Ndava hama yehunguhwe*

Neshamwari yevanasikana vemhou.+

30 Ganda rangu rasviba uye rafunuka;+

Mapfupa angu ari kutsva nekupisa kwakuri kuita.*

31 Rudimbwa rwangu rwava kungoridzwa pakuchema,

Uye nyere* yangu yava kushandiswa pakuchema.

31 “Ndakaita sungano nemaziso angu.+

Saka ndingatarisa sei mhandara ndichiichiva?+

 2 Kana ndikadaro ndingawana mugove wei kuna Mwari ari kumusoro,

Uye ndingawana nhaka yei kune Wemasimbaose ari kumusoro?

 3 Dambudziko harina kumirira mutadzi here?

Uye nhamo haina kumirira vaya vanoita zvakaipa here?+

 4 Ko iye haaoni here nzira dzangu+

Nekuverenga nhanho dzangu dzese?

 5 Ndakambofamba ndichireva nhema* here?

Tsoka yangu yakambomhanyira kunonyengera here?+

 6 Mwari ngaandiyere pachikero chakarurama;+

Achabva aziva kuperera kwangu kwaari.+

 7 Kana nhanho dzangu dzikatsauka munzira+

Kana kuti mwoyo wangu ukatevera maziso angu+

Kana kuti maoko angu akasvibiswa,

 8 Regai ndidyare mbeu mumwe munhu odya,+

Uye zvandinenge ndadyara ngazvidzurwe.*

 9 Kana ndakatorwa mwoyo nemumwe mukadzi,+

Ndikaramba ndakahwandira+ pasuo remuvakidzani wangu,

10 Mudzimai wangu ngaakuyire mumwe murume,

Uye vamwe varume ngavarare naye.*+

11 Nekuti ndikadaro ndinenge ndaita zvinonyadzisa,

Uye chitadzo chakadaro chingada kuti ndirangwe nevatongi.+

12 Chingaita semoto unororomesa, unoparadza,+

Unopisa kunyange midzi yezvirimwa* zvangu zvese.

13 Kana ndairamba kuteerera murandarume kana murandakadzi wangu

Kana paine zvaari kunyunyuta pamusoro pangu,*

14 Ndingaita sei kana Mwari akazondibvunza?*

Ndingamupindura kuti chii kana akaita kuti ndizvidavirire?+

15 Iye akandiita muchibereko haasi iye akavaitawo here?+

Haasi iye mumwe chete akatiumba tisati tazvarwa* here?+

16 Kana ndainyima varombo zvavaida+

Kana kuti ndaiita kuti chirikadzi isuwe;*+

17 Kana ndaidya ndega mugove wangu wezvekudya

Ndichinyima nherera;+

18 (Nekuti kubvira ndichiri mudiki nherera yakakura neni sekunge kuti ndini ndaiva baba vayo,

Uye ndaitungamirira chirikadzi kubvira ndichiri mudiki.*)

19 Kana ndaiona mumwe munhu achiparara nekushaya chekupfeka

Kana kuti murombo asina chekufuka;+

20 Kana asina kundikomborera+

Paaidziyirwa nemvere dzemakwai angu;

21 Kana ndaisimudzira nherera chibhakera+

Payaida rubatsiro rwangu pamagedhi eguta;*+

22 Ruoko rwangu ngarudonhe* kubva pabendekete rangu,

Uye ruoko rwangu ngarutyoke nepagokora.*

23 Nekuti ndaitya njodzi inobva kuna Mwari,

Uye ndaisakwanisa kumira pamberi pekukudzwa kwake.

24 Kana ndaivimba negoridhe

Kana kuti ndaiti kugoridhe, ‘Ndiwe unondichengetedza!’+

25 Kana ndaifarira kuwanda kwepfuma yangu+

Nekuti ndakanga ndawana zvinhu zvizhinji;+

26 Kana ndaiona zuva richipenya*

Kana kuti mwedzi uchifamba nerunako rwawo;+

27 Uye kana mwoyo wangu wakanyengerwa pachivande,

Ndikatsvoda ruoko rwangu ndichizvinamata;+

28 Ikoko kungava kukanganisa kunoda kuti ndirangwe nevatongi,

Nekuti ndinenge ndaramba Mwari wechokwadi ari kumusoro.

29 Ndakambofarira kuparara kwemuvengi wangu here+

Kana kufarira kuti zvakaipa zvamuwana?

30 Handina kumbobvumira kuti muromo wangu utadze

Nekupika ndichikumbira kuti afe.*+

31 Vanhu vemutende rangu havana here kuti,

‘Ndiani wamunoziva asina kumbodya zvekudya zvake akaguta?’+

32 Hapana mutorwa airara panze;+

Ndaizarurira munhu anenge ari parwendo masuo angu.

33 Ndakamboedza kufukidza kudarika kwangu sezvinoita vamwe varume here,+

Ndichivanza kukanganisa kwangu muhomwe yehembe yangu?

34 Ndakambotya kuti ruzhinji ruchaita sei here,

Kana kutya kuti ndinozoshorwa nedzimwe mhuri,

Ndichiramba ndakanyarara, uye ndichitya kubuda panze?

35 Dai mumwe munhu ainditeerera!+

Ndainyora zita rangu pamashoko andataura.

Wemasimbaose ngaandipindure!+

Dai mupomeri wangu anyora gwaro rezvaari kundipomera!

36 Ndairitakura papfudzi rangu,

Ndorisungirira mumusoro mangu sekorona.

37 Ndaimuudza zvese zvandainge ndaita;

Ndaiuya kwaari nechivimbo, sejinda.

38 Kana munda wangu wakandichemera

Uye miforo yawo yakachema pamwe chete;

39 Kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingabhadhari,+

Kana kuti ndakaita kuti vaiva varidzi vawo vasare vasina tariro;+

40 Minzwa ngaimere panzvimbo pegorosi

Uye sora rinonhuhwa ngarimere panzvimbo pebhari.”

Mashoko aJobho anoperera pano.

32 Saka varume vatatu ava vakarega kuedza kupindura Jobho, nekuti akanga achizviti akarurama.*+ 2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi+ wemhuri yaRamu akagumbuka kwazvo. Akashatirirwa Jobho nekuti aiedza kuzviita akarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.+ 3 Akatsamwirawo shamwari dzaJobho nhatu nekuti dzakanga dzisina kuwana mhinduro asi dzakanga dzati Mwari akaipa.+ 4 Erihu akanga akamirira kupindura Jobho, nekuti vakanga vari vakuru kwaari.+ 5 Erihu paakaona kuti varume vacho vatatu vakanga vasisina zvekumupindura, hasha dzake dzakawedzera. 6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akatanga kutaura achiti:

“Ndiri mudiki

Asi imi varume mava vakuru.+

Saka ndakamira kutaura ndichikuremekedzai,+

Uye ndakazeza kukuudzai zvandinoziva.

 7 Ndakafunga kuti, ‘Regai zera ritaure,*

Uye regai makore mazhinji azivise uchenjeri.’

 8 Asi mweya* uri muvanhu,

Kufema kweWemasimbaose, ndiwo unovapa kunzwisisa.+

 9 Zera rega harisi iro rinoita* kuti munhu achenjere,

Uye vakwegura havasi ivo vega vanonzwisisa zvakarurama.+

10 Saka ndiri kuti, ‘Nditeererei,

Ndikuudzeiwo zvandinoziva.’

11 Onai! Ndanga ndakamirira mashoko enyu;

Ndanga ndichingoteerera muchitaura pfungwa dzenyu,+

Muchitsvaga zvekutaura.+

12 Ndanga ndakanyatsokuteererai,

Asi hapana kana mumwe wenyu aratidza Jobho kuti akarasika*

Kana kumupindura zvaari kutaura.

13 Saka musati, ‘Tawana uchenjeri;

Mwari ndiye anomutsiura, kwete munhu.’

14 Haana kutaura mashoko ake kwandiri,

Saka handisi kuzomupindura nemashoko enyu.

15 Vavhundutswa, havasisina zvimwe zvekupindura;

Havasisina zvimwe zvekutaura.

16 Ndanga ndakamirira, asi havachatauri;

Vangomira apo, vasisina chekupindura.

17 Saka iniwo ndichapindura;

Ndichataurawo zvandinoziva,

18 Nekuti ndazara nemashoko;

Mweya* uri mandiri uri kundimanikidza.

19 Mukati mangu muri kuita sewaini isina pekufema napo,

Sehomwe itsva dzewaini dzava kuda kuputika.+

20 Regai nditaure kuti ndirerukirwe!

Ndichashama miromo yangu ndokupai mhinduro.

21 Handina munhu wandichasarura;+

Uye handizorumbidzi munhu zvekuda kumufadza,*

22 Nekuti handigoni kurumbidza munhu zvekuda kumufadza;

Kana ndikadaro, Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.

33 “Asi iye zvino Jobho, inzwa mashoko angu;

Teerera zvese zvandiri kutaura.

 2 Chinzwa! Ndinofanira kushama muromo wangu;

Rurimi rwangu runofanira* kutaura.

 3 Mashoko angu anozivisa kururama kwemwoyo wangu,+

Uye miromo yangu inonyatsotaura zvandinoziva.

 4 Mweya* waMwari wakandisika,+

Uye mweya wekufema weWemasimbaose wakaita kuti ndive mupenyu.+

 5 Ndipindure kana uchikwanisa;

Ronga mashoko pamberi pangu; gadzirira.

 6 Ona! Ndakangofanana newe pamberi paMwari wechokwadi;

Ndakaumbwa nevhu sezvawakaitwawo.+

 7 Saka haufaniri kunditya,

Uye hapana chiri pandiri chinofanira kukutyisa.

 8 Asi wakataura ndichinzwa,

Ndakaramba ndichingonzwa mashoko aya,

 9 ‘Ndakachena, handina chitadzo;+

Ndakachena, handina chivi.+

10 Asi Mwari anondiwanira mhosva;

Anondiona semuvengi wake.+

11 Anoisa tsoka dzangu muzvisungo zvematanda;*

Anopenengura nzira dzangu dzese.’+

12 Asi zvauri kutaura hazvisirizvo, saka ndichakupindura:

Mwari mukuru kwazvo kupfuura munhu.+

13 Nei uchingonyunyuta nezvake?+

Inyaya yekuti haapinduri mashoko ako ese here?+

14 Nekuti Mwari anotaura kamwe chete uye kechipiri,

Asi hapana anomuteerera,

15 Kuhope, muchiratidzo cheusiku,+

Vanhu pavanofa nehope

Vakarara pamibhedha yavo.

16 Anobva avhura nzeve dzavo+

Uye anoisa mirayiro yake mavari,

17 Kuti aite kuti munhu arege zvakaipa+

Uye kuti aite kuti munhu asazvikudza.+

18 Mwari anoponesa mweya wake kuti usapinda* mugomba,*+

Upenyu hwake kuti hurege kuparadzwa nebakatwa.*

19 Munhu anotsiurwawo nemarwadzo ari pamubhedha wake

Uye nekurwadza kunenge kuchiita mapfupa ake,

20 Zvekuti anotanga kusema chingwa,

Uye anoramba* kunyange zvekudya zvakanaka.+

21 Nyama yake inopera zvekusaoneka,

Uye mapfupa ake aisaoneka anobuda pachena.

22 Mweya wake unoswedera* pedyo negomba;*

Upenyu hwake hunoswedera pedyo nevaya vanounza rufu.

23 Kana nhume* ikauya kwaari,

Mumiririri mumwe chete pachiuru,

Kuti izoudza munhu zvinhu zvakarurama,

24 Mwari anobva amunzwira nyasha oti,

‘Itai kuti asapinda mugomba!*+

Ndawana rudzikinuro!+

25 Nyama yake ngaive itsva* kupfuura paaiva mudiki;+

Ngaadzokere kumazuva esimba reudiki hwake.’+

26 Achateterera Mwari,+ uyo achamufarira,

Uye achaona chiso chake achipembera,

Uye iye achadzorera munhu kururama kwake.

27 Munhu iyeye achazivisa* vanhu achiti,

‘Ndakatadza+ uye ndakakanganisa zvinhu zvakarurama,

Asi handina kuwana zvakandikodzera.*

28 Adzikinura mweya wangu kuti urege* kupinda mugomba,*+

Uye upenyu hwangu huchaona chiedza.’

29 Chokwadi Mwari anoita zvinhu zvese izvi

Kaviri, katatu, achiitira munhu,

30 Kuti amudzore* kubva mugomba,*

Kuti avhenekerwe nechiedza cheupenyu.+

31 Teerera, Jobho! Nditeerere!

Ramba wakanyarara, ndirambe ndichitaura.

32 Kana uine chauri kuda kutaura, ndipindure.

Taura, nekuti ndiri kuda kubudisa pachena kuti hauna mhosva.

33 Kana usina chekutaura, unofanira kunditeerera;

Ramba wakanyarara, ndikudzidzise uchenjeri.”

34 Saka Erihu akaenderera mberi nemhinduro yake achiti:

 2 “Teererai mashoko angu, imi vakachenjera;

Ndinzwei, imi vanoziva zvakawanda.

 3 Nekuti nzeve inoedza mashoko,

Sekungoravidza kunoita rurimi zvekudya.

 4 Ngationgororei tega kuti tione kuti zvakarurama ndezvipi;

Ngatisarudzei tega kuti tizive kuti zvakanaka ndezvipi.

 5 Nekuti Jobho ati, ‘Ndakarurama,+

Asi Mwari ari kuramba kunditonga zvakarurama.+

 6 Ndingareva nhema nezvemutongo wandinofanira kupiwa here?

Ronda rangu harirapiki, kunyange zvazvo ndisina chandatadza.’+

 7 Ndiani mumwe munhu akafanana naJobho,

Anonwa kunyombwa semvura?

 8 Ari kushamwaridzana nevatadzi

Uye ari kushamwaridzana nevanhu vakaipa.+

 9 Nekuti ati, ‘Munhu haabatsirwi

Nekuedza kwake kufadza Mwari.’+

10 Saka nditeererei, imi varume vanonzwisisa:

Hazviiti zvachose kuti Mwari wechokwadi aite zvakaipa,+

Uye kuti Wemasimbaose atadze!+

11 Nekuti achapa munhu mubayiro maererano nezvaanoita+

Uye achaita kuti awane zvinoenderana nenzira dzake.

12 Zvechokwadi, Mwari haaiti zvakaipa;+

Wemasimbaose haatsaudziri pakutonga.+

13 Ndiani akamugadza kuti atungamirire nyika,

Uye ndiani akamugadza panyika yese?*

14 Kana akaisa mwoyo wake pavari,

Kana akatora simba ravo reupenyu* nemhepo yavanofema,+

15 Vanhu vese vangaparara* pamwe chete,

Uye vanhu vangadzokera kuguruva.+

16 Saka kana uchinzwisisa, teerera izvi;

Nyatsoteerera zvandiri kutaura.

17 Munhu anovenga kutonga zvakarurama angatungamirira here,

Kana kuti ungashora here munhu ane simba akarurama?

18 Ungati here kuna mambo, ‘Hamuna zvamunobatsira,’

Kana kuti kuvakuru vakuru, ‘Muri vanhu vakaipa’?+

19 Ariko mumwe asingasaruri machinda

Uye asingafariri vapfumi kupfuura varombo,*+

Nekuti vese zvavo ibasa remaoko ake.+

20 Vanogona kungoerekana vafa+ pakati peusiku;+

Vanogwinha-gwinha zvine simba vopfuura;

Kunyange vane simba vanobviswa, asi kwete nemaoko emunhu.+

21 Nekuti maziso aMwari ari panzira dzemunhu,+

Uye anoona nhanho dzake dzese.

22 Hakuna rima kana zarima

Rekuti vatadzi vanogona kuvanda mariri.+

23 Nekuti Mwari haana munhu waakasarudzira nguva

Yekuti azomumisa pamberi pake kuti amutonge.

24 Anoputsa vane simba asingafaniri kutanga amboongorora

Uye anogadza vamwe panzvimbo pavo.+

25 Nekuti anoziva zvavari kuita;+

Anovabvisa usiku, vopwanyika.+

26 Anovarovera uipi hwavo,

Panzvimbo inoonekwa nevanhu vese,+

27 Nekuti vakasiya kumutevera+

Uye havana basa nenzira dzake dzese;+

28 Vanoita kuti varombo vacheme kwaari,

Zvekuti anonzwa kuchema kwevasina mubatsiri.+

29 Kana Mwari akaramba akanyarara, ndiani angamupa mhosva?

Kana akavanza chiso chake, ndiani angamuona?

Kana akazviitira imwe nyika kana kuti munhu mumwe chete, magumo acho akangofanana.

30 Haabvumiri munhu asingadi Mwari* kuti atonge+

Kana kuti ateye vanhu.

31 Nekuti pane munhu here angati kuna Mwari,

‘Ndarangwa, kunyange zvazvo ndisina chandatadza;+

32 Ndiratidzei pandisiri kuona;

Kana paine chandatadza, handichachiitazve’?

33 Anofanira kukupa mubayiro sezvaunoda here, asi iwe uchiramba mutongo wake?

Ndiwe unofanira kusarudza, kwete ini.

Saka ndiudze zvaunonyatsoziva.

34 Varume vanonzwisisa vachati kwandiri,

Murume wese akachenjera anondinzwa achati:

35 ‘Jobho anotaura zvaasingazivi,+

Uye mashoko ake ndeemunhu asina njere.’

36 Jobho ngaaedzwe* kusvikira pakupedzisira

Nekuti anopindura sevarume vaya vakaipa!

37 Anowedzera kupanduka pachivi chake;+

Anoombera zvekutsvinya ari pamberi pedu

Uye anowanza mashoko ake achipikisana naMwari wechokwadi!”+

35 Erihu akaenderera mberi nemhinduro yake achiti:

 2 “Une chokwadi here kuti wakarurama zvekuti ungati,

‘Ndakarurama kupfuura Mwari’?+

 3 Nekuti uri kuti, ‘Zvine basa rei nemi?*

Zvandiri zviri nani here kupfuura zvandaizova kudai ndakaita chivi?’+

 4 Ndichakupindura

Iwe neshamwari dzako+ dzauinadzo.

 5 Tarisa kudenga uone,

Cherechedza makore+ ari mudenga denga pamusoro pako.

 6 Kana ukatadza, chii chinomurwadza?+

Kana zvitadzo zvako zvikawedzera, unomuitei?+

 7 Kana wakarurama, unomupei;

Chii chaanogamuchira kwauri?+

 8 Uipi hwako hunongokanganisa munhu akaita sewe,

Uye kururama kwako kunobatsira mwanakomana wemunhu.

 9 Vanhu vanochema kana vachidzvinyirirwa chaizvo;

Vanochemera kubatsirwa kubva pautongi hwevane simba.*+

10 Asi hapana anoti, ‘Mwari ari kupi, Muiti wangu Mukuru,+

Iye anoita kuti nziyo dziimbwe usiku?’+

11 Anotidzidzisa+ kupfuura mhuka dzepanyika,+

Uye anoita kuti tive vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.

12 Vanhu vanoshevedzera, asi haapinduri,+

Nemhaka yekuzvikudza kwevakaipa.+

13 Chokwadi Mwari haanzwi kuchema kwenhema;+

Wemasimbaose haateereri zvakadaro.

14 Ko kuzoti paunonyunyuta uchiti haumuoni!+

Nyaya yako iri pamberi pake, saka unofanira kumumirira nemwoyo wese.+

15 Nekuti haana kukubvunza zvikanganiso zvako nehasha;

Uye haana kukutongera kuita kwako zvinhu usina kufunga.+

16 Jobho anongoshama muromo wake achitaura zvisina musoro;

Anoramba achitaura zvaasingazivi.”+

36 Erihu akaenderera mberi achiti:

2 “Chimboti mirei nditsanangure,

Nekuti ndichiine mashoko ekutaura ndichimiririra Mwari.

 3 Ndichanyatsotaura zvese zvandinoziva,

Uye ndichataura nezvekururama kweMuiti wangu.+

 4 Chokwadi mashoko angu haasi enhema;

Uyo ane ruzivo rwakakwana+ ari pano pamberi pako.

 5 Chokwadi Mwari ane simba+ uye hapana waanoramba;

Ane simba guru rekunzwisisa;

 6 Haasi kuzosiya vakaipa vari vapenyu,+

Asi anotonga zvakarurama vanhu vanotambudzika.+

 7 Haabvisi maziso ake pavanhu vakarurama;+

Anovagarisa nemadzimambo,*+ uye vanokwidziridzwa nekusingaperi.

 8 Asi kana vakasungwa necheni

Uye vakabatwa netambo dzekutambudzwa,

 9 Anovaratidza zvavakaita,

Zvitadzo zvavo zvakakonzerwa nekuzvikudza kwavo.

10 Anovhura nzeve dzavo kuti avaruramise,

Ovaudza kuti varege kuita zvakaipa.+

11 Kana vakateerera, vomushumira,

Vachararama mazuva avo ese vakagarika,

Uye makore avo achange achifadza.+

12 Asi kana vakasateerera, vachaparadzwa nebakatwa*+

Uye vachafa vasingazivi.

13 Vaya vasingadi Mwari* mumwoyo mavo vachachengeta chigumbu.

Havachemeri kubatsirwa kunyange paanovasunga.

14 Vanofa* vachiri vadiki,+

Vachipedza upenyu hwavo vari pakati pepfambi dzechirume dzepatemberi.+

15 Asi Mwari* anonunura vanotambudzika pavanenge vachitambudzwa;

Anovhura nzeve yavo pavanenge vachidzvinyirirwa.

16 Anokununura wava pedyo nekupinda mudambudziko,+

Okuendesa kunzvimbo yakafara, isina kumanikidzika,+

Uine zvekudya zvakanaka patafura yako, kuti unyaradzwe.+

17 Uchabva wagutswa nemutongo uchapiwa vakaipa,+

Panopiwa mutongo uye panokwidziridzwa kururama.

18 Asi ngwarira kuti hasha dzisazoita kuti uite zvinhu zveutsinye,+

Uye usatsauswa nechiokomuhomwe chinenge chakakura.

19 Kuchemera kwako kubatsirwa

Kana kuti zvese zvaunoedza kuita, zvichakubvisa mumatambudziko here?+

20 Usashuva kuti manheru asvike,

Vanhu pavanonyangarika panzvimbo dzavo.

21 Ngwarira kuti usatanga kuita zvinhu zvakaipa,

Uchisarudza izvozvo pane kutambura.+

22 Ziva kuti Mwari anokudzwa musimba rake;

Murayiridzi upi akafanana naye?

23 Ndiani akamuratidza nzira*+

Kana kuti akati kwaari, ‘Zvamakaita zvakaipa’?+

24 Yeuka kurumbidza basa rake,+

Rakaimbwa nezvaro nevanhu.+

25 Vanhu vese vakariona,

Munhu anoritarisa ari nechekure.

26 Chokwadi Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva;+

Kuwanda kwemakore ake hakurondedzereki.*+

27 Anokwidza madonhwe emvura kumusoro;+

Madonhwe acho anochinja kubva mumhute yake, ova mvura;

28 Makore anobva aidurura pasi;+

Oinayisa pasi pane vanhu.

29 Pane anganzwisisa here kupararira kwakaita makore,

Mabhanan’ana anobva mutende* rake?+

30 Ona kutambanudza kwaanoita mheni yake*+ pamusoro paro

Achifukidza pasi pegungwa.

31 Izvi anozvishandisa kutsigira vanhu;

Anovapa zvekudya zvakawanda.+

32 Anofukidza mheni nemaoko ake,

Uye anoita kuti iende paanenge achida.+

33 Mabhanan’ana ake anotaura nezvake,

Kunyange zvipfuwo zvinoziva kuti ndiani ari* kuuya.

37 “Hana yangu inobva yarova

Uye inokwakuka ichibva panzvimbo payo.

 2 Nyatsoteererai kutinhira kwenzwi rake

Uye mabhanan’ana anobuda mumuromo make.

 3 Anoaregedzera pasi pematenga ese

Uye anotuma mheni+ yake kumigumo yenyika.

 4 Pashure pacho panozonzwika kudzvova;

Anotinhira nenzwi guru,+

Uye haadzori inzwi rake parinonzwika.

 5 Mwari anotinhira zvinoshamisa nenzwi rake;+

Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.+

 6 Nekuti anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’+

Uye anoti kumvura zhinji, ‘Naya zvine simba.’+

 7 Mwari anomisa mabasa ese evanhu*

Kuti munhu wese azive basa rake.*

 8 Mhuka dzesango dzinopinda mumapako adzo,

Uye dzinoramba dziri munzvimbo dzadzinogara.

 9 Dutu rinovhuvhuta richibuda muimba yaro yemukati,+

Uye mhepo yekuchamhembe inounza chando.+

10 Kufema kwaMwari kunobudisa chando,+

Uye mvura yakapararira inogwamba yoita zigodo.+

11 Anoremedza gore nemadonhwe emvura;

Anoita kuti mheni+ yake ipararire nemakore;

12 Zvinotenderera zvichienda kwaanozviti zviende;

Zvinoita zvese zvaanozviudza kuti zviite+ pamusoro penyika yese.*

13 Zvingava zvashandiswa sechirango*+ kana kuti zvichibatsira nyika

Kana kuti zvichiratidza rudo rusingachinji, ndiye anoita kuti zviitike.+

14 Teerera izvi, Jobho;

Mira, unyatsofungisisa mabasa aMwari anoshamisa.+

15 Unoziva here kuti Mwari anodzora* sei makore

Uye kuti anoita sei kuti mheni ipenye ichibva mugore rake?

16 Unoziva here kuti makore anorembera sei mumhepo?+

Aya mabasa anoshamisa aiye ane ruzivo rwakakwana.+

17 Unoziva here chinoita kuti zvipfeko zvako zvipise

Paya panodzikama nyika zvichikonzerwa nemhepo inobva kumaodzanyemba?+

18 Ungatambanudza denga pamwe chete naye here,+

Iro rakaoma segirazi resimbi?

19 Tiudze zvatingataura kwaari;

Hatigoni kupindura nekuti tiri murima.

20 Anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?

Kana kuti pane akambotaura chimwe chinhu zvekuti anofanira kuchiudzwa here?+

21 Havakwanisi kuona kunyange chiedza,*

Kunyange zvazvo chakajeka mudenga,

Kusvikira mhepo yapfuura yobvisa makore ese.

22 Kubwinya kwakaita segoridhe kunobva kuchamhembe;

Ukuru hwaMwari+ hunoshamisa.

23 Hatikwanisi kunzwisisa Wemasimbaose;+

Ane simba guru,+

Uye haatombotongi zvinopesana nekururama kwake kukuru.+

24 Saka vanhu vanofanira kumutya.+

Nekuti haafariri munhu wese anofunga kuti akangwara.”*+

38 Jehovha akabva apindura Jobho ari mudutu achiti:+

 2 “Ndianiko uyu ari kudzikatidza zano rangu

Achitaura zvaasingazivi?+

 3 Chigadzirira semunhu wemurume;

Ndichakubvunza, iwe wondiudza.

 4 Wakanga uri kupi pandakamisa nyika?+

Ndiudze, kana uchifunga kuti unonzwisisa.

 5 Ndiani akatara kukura kwayo, pamwe unozviziva,

Kana kuti ndiani akatambanudza tambo achiiyera?

 6 Ko zvigadziko zvayo zvakagara pai,

Kana kuti ndiani akamisa dombo rayo repakona,+

 7 Nyeredzi dzemangwanani+ padzakashevedzera nemufaro pamwe chete,

Uye vanakomana vese vaMwari*+ pavakatanga kushevedzera vachirumbidza?

 8 Uye ndiani akavharira gungwa nemasuo+

Parakaputika richibuda muchibereko,

 9 Pandakaripfekedza makore,

Ndikariputira nerima gobvu,

10 Pandakariisira muganhu wangu,

Ndikaisa mazariro aro nemasuo,+

11 Ndikati, ‘Unogona kusvika apa, asi haufaniri kupapfuura;

Pano ndipo pachagumira mafungu ako makuru’?+

12 Wakamborayira mangwanani here

Kana kuita kuti mambakwedza azive nzvimbo yawo,+

13 Kuti abate migumo yenyika

Uye azunze vakaipa kuti vabve pairi?+

14 Inoshandurwa sevhu rekuumbisa riri pasi pechidhindo,*

Uye zviri pairi zvinooneka senguo yakashongedzwa.

15 Asi vakaipa vanovharirwa chiedza chavo,

Uye ruoko rwavo rwakasimudzwa runotyorwa.

16 Wakambodzika ukasvika panobva mvura yegungwa here,

Kana kupinda mumvura yakadzika uchiiongorora?+

17 Wakamboratidzwa magedhi erufu+ here,

Kana kuti wakamboona magedhi erima gobvu*+ here?

18 Wava kunzwisisa kukura kwakaita nyika here?+

Ndiudze, kana uchiziva zvese izvi.

19 Chiedza chinogara nechekupi?+

Uye rima rinogara kupi,

20 Kuti uende nazvo kwazvinogara,

Wonzwisisa nzira dzinoenda kumba kwazvo?

21 Unoziva izvi nekuti wakanga watoberekwa kare here

Uye nekuti makore* ako mazhinji?

22 Wakambopinda mumatura echando,+

Kana kuona matura echimvuramabwe here,+

23 Zvandakachengetera nguva yekutambudzika,

Pazuva rekurwa nerehondo?+

24 Chiedza chinopararira chichibva* nekupi,

Uye mhepo yekumabvazuva inovhuvhuta panyika ichibva nekupi?+

25 Ndiani akavhurira mugero mvura zhinji iri mudenga kuti idzike

Uye akagadzira nzira inofamba negore remvura ine mabhanan’ana,+

26 Kuti mvura inaye kusingagari vanhu,

Murenje musina vanhu,+

27 Kuti igutse nzvimbo dzakaita magwenga,

Ichiita kuti uswa humere?+

28 Ko mvura inonaya ina baba here,+

Uye ndiani akabereka madonhwe edova?+

29 Magodo echando akabuda muchibereko chaani,

Uye ndiani akabereka chando chakachena chichibva mudenga+

30 Panofukidzwa mvura sekunge yakavharwa nedombo,

Uye pamusoro pemvura yakadzika pachiita zigodo?+

31 Ungasunga tambo dzenyeredzi dzeKima* here,

Kana kusunungura tambo dzenyeredzi dzeKesiri?*+

32 Ungatungamirira nyeredzi dzakaungana panzvimbo imwe chete* mumwaka wadzo here,

Kana kutungamirira nyeredzi dzeAshi* pamwe chete nevanakomana vadzo?

33 Unoziva mitemo yekudenga here,+

Kana kuti ungaita kuti simba rayo* rishande panyika here?

34 Ungashevedzera kumakore

Kuti mvura inaye zvine simba yokufukidza here?+

35 Ungatuma mheni here?

Ingauya here yoti kwauri, ‘Ndauya!’?

36 Ndiani akaisa uchenjeri mumakore,*+

Kana kuti ndiani akaita kuti zvinhu zviri mudenga zvinzwisise?*+

37 Ndiani akachenjera zvekuti angaverenga makore,

Kana kuti ndiani angadeura zvirongo zvemvura zvekudenga,+

38 Guruva parinova matope royerera

Uye mavhinga enyika paanonamatirana?

39 Ungavhimira shumba mhuka here,

Kana kupedza nzara yeshumba diki+

40 Padzinovhumbama madzinogara,

Kana kuti padzinohwandira dziri mumapako adzo?

41 Ndiani anogadzirira gunguo zvekudya,+

Panochema vana varo vachida kubatsirwa naMwari,

Vachingodzungaira nekuti hapana chekudya?

39 “Unoziva nguva inobereka mbudzi dzemumakomo here?+

Wakamboona nondo painenge ichibereka here?+

 2 Unoziva kuti dzinoita mwedzi mingani dziine vana vadzo mudumbu here?

Unoziva here nguva yadzinobereka?

 3 Dzinogwadama padzinenge dzava kubereka,

Uye marwadzo adzo ekusununguka anopera.

 4 Vana vadzo vanosimba uye vanokurira musango;

Vanoenda, vorega kuzodzokazve kwadziri.

 5 Ndiani akapa dhongi remusango rusununguko,+

Uye ndiani akasunungura tambo dzedhongi remusango?

 6 Ndakaita kuti renje rive musha waro

Uye ndakaita kuti rigare munzvimbo ine munyu.

 7 Rinoseka nyonganyonga yemuguta;

Harinzwi ruzha rwemunhu anotyaira mhuka.

 8 Rinofamba-famba mumakomo richitsvaga mafuro,

Richitsvaga zvekudya zvakasvibirira.

 9 Nzombe yemusango ingada kukushandira here?+

Ingapedza usiku hwese iri mudanga* mako here?

10 Ungashandisa tambo kuti nzombe yemusango irambe iri mumuforo here,

Kana kuti ingakutevera kuti irime* mubani here?

11 Ungavimba nesimba guru raiinaro here,

Woirega ichiita basa rako rinorema?

12 Ungavimba nayo kuti ikuunzire goho rako* here,

Uye ingariunza paburiro* rako here?

13 Mapapiro emhou anobhabhama nemufaro,

Asi mapapiro ayo neminhenga yayo zvingaenzaniswa nezveshuramurove here?+

14 Nekuti inosiya mazai ayo muvhu,

Uye inoita kuti agare achidziyirwa ari muguruva.

15 Inokanganwa kuti anogona kutsikwa netsoka opwanyika

Kana kuti mhuka yesango inogona kuatsika-tsika.

16 Inoitira utsinye vana vayo, sekunge vasiri vayo;+

Haina basa kuti ingarasikirwa nezvayakashandira.

17 Nekuti Mwari akainyima* uchenjeri

Uye haana kuiita kuti inzwisise.

18 Asi painosimuka yobhabhama mapapiro ayo,

Inoseka bhiza nemutasvi waro.

19 Ndiwe unopa bhiza simba raro here?+

Unopfekedza mutsipa waro zenze rinopepereka here?

20 Unogona kuita kuti risvetuke semhashu here?

Kurira kwaro zvine simba kunovhundutsa.+

21 Rinotsika pasi zvine simba mubani, richisvetuka nesimba;+

Rinomhanya richipinda muri kurwiwa.*+

22 Rinoseka kutya, uye hapana charinotya.+

Haritendeuki richitiza bakatwa.

23 Homwe yemiseve inorira ichikweshera pariri,

Mapfumo marefu nemapfumo madiki ekukanda achipenya.

24 Richidedera neshungu, rinomhanya richienda mberi,*

Harigoni kuramba rakamira* kana hwamanda yarira.

25 Panorira hwamanda rinoti, ‘Ehee!’

Rinonzwa kunhuhwirira kwehondo riri kure

Uye rinonzwa kushevedzera kwevatungamiriri vehondo nekushevedzera kwevarwi.+

26 Kunzwisisa kwako here kunoita kuti rukodzi rubhururuke,

Ruchitambanudza mapapiro arwo kumaodzanyemba?

27 Kana kuti ndiwe here unoudza gondo kuti ribhururuke richienda kumusoro+

Uye kuti rivakire dendere raro pakakwirira,+

28 Rorara usiku riri pamawere,

Richigara pamuzinda waro pamusoro pedombo?*

29 Rinotsvaga zvekudya riri ipapo;+

Maziso aro anoona zviri kure kure.

30 Vana varo vanonwa ropa;

Uye kwese kune mitumbi, rinenge ririko.”+

40 Jehovha akaenderera mberi achipindura Jobho achiti:

 2 “Munhu anotsvagira vamwe mhosva angapikisana neWemasimbaose here?+

Uya anoda kutsiura Mwari ngaapindure.”+

3 Jobho akapindura Jehovha achiti:

 4 “Onai! Ini handikoshi.+

Ndingakupindurai kutii?

Ndabata muromo wangu.+

 5 Ndataura kamwe chete, asi handichapindurizve;

Kaviri, asi handichataurizve.”

6 Jehovha akabva apindura Jobho ari mudutu achiti:+

 7 “Chigadzirira semunhu wemurume;

Ndichakubvunza, iwe wondiudza.+

 8 Ungati ini handitongi zvakarurama here?*

Unganditi ndine mhosva kuti iwe unzi wakarurama here?+

 9 Une ruoko rune simba serwaMwari wechokwadi here,+

Kana kuti inzwi rako ringatinhira serake here?+

10 Zvishongedze kukudzwa neukuru tione;

Zvipfekedze kukudzwa nekubwinya.

11 Budisa hasha dzako dzese;

Tarisa munhu wese anozvikudza, umuderedze.

12 Tarisa munhu wese anozvikudza, umuninipise,

Utsike-tsike vakaipa ipapo pavanenge vamire.

13 Vavanze vese muguruva;

Vasunge* munzvimbo yakavanda,

14 Uye kana ukadaro, kunyange neni ndingabva ndabvuma*

Kuti ruoko rwako rwerudyi runogona kukuponesa.

15 Tarisa Bhehemoti,* yandakasika sekusika kwandakakuita.

Inodya uswa semombe.

16 Tarisa simba riri muhudyu mayo

Uye simba riri panyama dzepadumbu rayo!

17 Inoomesa muswe wayo semusidhari;

Marunda* ezvidya zvayo akaita zvekurukana.

18 Mapfupa ayo akaita sepombi dzemhangura;

Makumbo ayo akaita sesimbi.

19 Ndiyo iri pekutanga pamabasa aMwari;

Muiti wayo chete ndiye anokwanisa kuswedera pairi nebakatwa rake.

20 Nekuti makomo anoibudisira zvekudya,

Ndiwo anotambira mhuka dzese dzesango.

21 Inorara pasi pemakwenzi eminzwa,

Mumimvuri yetsanga dziri mumachakwi.

22 Makwenzi ane minzwa anoipa mumvuri,

Uye mishambangwena yemurwizi* inoipoteredza.

23 Kana rwizi ruchiyerera nesimba, haivhunduki.

Haityi, kunyange Jodhani+ ruchiyerera nesimba rwakananga mukanwa mayo.

24 Pane angaibata yakatarisa here,

Kana kuboora mhino yayo nechinhu chekukochekeresa?*

41 “Ungabata Revhiatani*+ nechirauro here,

Kana kusunga rurimi rwayo netambo?

 2 Ungaisa tambo mumhino dzayo here,

Kana kuboora shaya dzayo nechirauro?*

 3 Ingakuteterera kazhinji here,

Kana kuti ingataura newe zvinyoronyoro here?

 4 Ingaita sungano newe,

Zvekuti ungaiita muranda wako kweupenyu hwese here?

 5 Ungatamba nayo sezvaunoita neshiri here,

Kana kuisunga netambo kuti tuvana twako tusikana tutambe nayo?

 6 Vanhu vangaitengeserana here?

Vatengesi vangaigovana here?

 7 Ungazadza ganda rayo nemapfumo ekubayisa hove huru here,+

Kana kubaya musoro wayo nemapfumo ekubayisa hove?

 8 Isa ruoko rwako pairi;

Hauzombokanganwi hondo yacho uye hauzozviiti zvakare!

 9 Tarisiro yese yekuibata inoshaya basa.

Kungoiona chete kunokupedza simba.*

10 Hapana munhu angashinga kuidenha.

Saka ndiani iyeye angada kumirisana neni?+

11 Ndiani akatanga kundipa chimwe chinhu zvekuti ndinofanira kumuripa?+

Zvese zviri pasi pedenga ndezvangu.+

12 Handizorambi ndakanyarara nezvemakumbo ayo,

Nezvesimba rayo uye kuumbika kwakaita muviri wayo.

13 Ndiani akambobvisa nguo yayo yekunze?

Ndiani angapinda mumuromo wayo wakavhurika?

14 Ndiani angashinga kuvhura masuo emuromo wayo?*

Mazino ayo anotyisa.

15 Musana wayo une mitsara yemakwati*

Yakanyatsobatana.

16 Rimwe nerimwe rakanyatsopindana nerimwe

Zvekuti hapana mhepo inokwanisa kupinda nepakati pawo.

17 Akanamatirana;

Akabatana uye haakwanisi kupatsanurwa.

18 Kuhotsira kwayo kunopenya kuchibudisa chiedza,

Uye maziso ayo akafanana nemwaranzi yemambakwedza.

19 Mumuromo mayo munobuda kupenya kwemheni;

Moto unodauka-dauka uchibudamo.

20 Mumhino dzayo munobuda utsi,

Sezvinoita muchoto mukaiswa nhokwe.

21 Kufema kwayo kunoita kuti mazimbe abvire,

Uye rimi rinobuda mumuromo mayo.

22 Mumutsipa mayo mune simba guru,

Uye vese vanosangana nayo vanotya.

23 Ganda repadumbu payo rakaomarara;

Rakasimba kunge simbi, risingakwanisi kubviswa.

24 Mwoyo wayo wakaoma sedombo,

Kuoma seguyo.

25 Painosimuka, kunyange vane simba vanovhunduka;

Painorova mvura vanoshaya zvekuita.

26 Hapana bakatwa rinosvika pairi rinokunda;

Kana pfumo, museve, kana chimwe chombo.+

27 Inoona simbi semashanga,

Mhangura semuti wakaora.

28 Haitizi museve;

Kwairi matombo echipfuramabwe akaita semashanga.

29 Inoona tsvimbo seshanga,

Uye inoseka kurira kwepfumo diki.

30 Pasi payo pakaita sezvaenga* zvakapinza;

Inofamba ichisiya muzvezve mumadhaka sechirei chekupurisa.+

31 Inoita kuti pasi pasi pemvura pafashaire sehari;

Inobvongodza gungwa roita sehari yemafuta ekuzora.

32 Painopfuura napo panosara pachipenya.

Munhu angafunga kuti mumvura mune bvudzi jena.

33 Hapana chakafanana nayo panyika,

Mhuka yakasikwa isingatyi.

34 Inonyatsotarisana kumeso nemhuka dzese dzinozvikudza.

Iyo ndimambo wezvikara zvikuru zvese.”

42 Jobho akabva apindura Jehovha achiti:

 2 “Iye zvino ndava kuziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvese

Uye hapana chamunofunga kuita chamungatadza.+

 3 Mati, ‘Ndianiko uyu ari kudzikatidza zano rangu asingazivi?’+

Saka ndakataura, asi ndakanga ndisinganzwisisi

Nezvezvinhu zvinondishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.+

 4 Mati, ‘Chiteerera, uye ini ndichataura.

Ndichakubvunza, iwe wondiudza.’+

 5 Ndaingoita zvekunzwa nezvenyu,

Asi iye zvino ndava kukuonai nemaziso angu.

 6 Ndokusaka ndiri kudzora mashoko angu andakataura,+

Uye ndiri kupfidza muguruva nemadota.”+

7 Jehovha paakanga apedza kutaura naJobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani:

“Ndakutsamwirai kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri,+ nekuti hamuna kutaura chokwadi pamusoro pangu+ sezvakaita mushumiri wangu Jobho. 8 Saka torai mikono yemombe minomwe nemakondohwe manomwe, muende kumushumiri wangu Jobho, mupe chibayiro chinopiswa chechivi chenyu.+ Uye mushumiri wangu Jobho achakunyengetererai. Chokwadi ndichagamuchira chikumbiro chake* kuti ndirege kukuitirai zvinoenderana neupenzi hwenyu, nekuti hamuna kutaura chokwadi nezvangu sezvakaita mushumiri wangu Jobho.”

9 Saka Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaama, vakaenda vakanoita zvavakanga vaudzwa naJehovha. Uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.

10 Jobho paakanga anyengeterera shamwari dzake,+ Jehovha akabvisa matambudziko ake+ uye akamudzorera pfuma yake.* Jehovha akamupa zvaaiva nazvo zvapetwa kaviri.+ 11 Hama dzake dzese nedzaimbova shamwari dzake+ vakauya kwaari, vakadya naye vari mumba make. Vakachema naye, vakamunyaradza pamatambudziko ese akanga abvumirwa naJehovha kuti auye paari. Mumwe nemumwe wavo akamupa mari nerin’i yegoridhe.

12 Saka Jehovha akakomborera makore ekupedzisira eupenyu hwaJobho kupfuura ekutanga,+ uye Jobho akava nemakwai 14 000, ngamera 6 000, mombe 2 000,* nemadhongi* 1 000.+ 13 Akavawo nevamwe vanakomana vanomwe nevamwe vanasikana vatatu.+ 14 Akatumidza mwanasikana wekutanga kuti Jemima, wechipiri, Keziya, uye wechitatu, Kereni-hapuki. 15 Munyika iyoyo yese makanga musina vakadzi vakanaka sevanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.

16 Pashure peizvi, Jobho akararama kwemakore 140, uye akaona vana vake nevazukuru vake, zvizvarwa zvina. 17 Jobho akazofa, ararama upenyu hwakareba uye agutsikana.*

[Mashoko emuzasi]

Zvingava zvichireva kuti “Anopikiswa; Anoshorwa.”

Kana kuti “akaperera kuna Mwari.”

ChiHeb., “zvipani 500 zvemombe.”

ChiHeb., “nemadhongi makadzi.”

Kana kuti “aiita mabiko pamba pake kana jana rake rasvika.”

Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.

ChiHeb., “Waisa mwoyo wako pamushumiri.”

Kana kuti “akaperera kuna Mwari.”

Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mheni.”

Kana kuti “kutaura zvakaipa nezvaMwari.”

Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.

ChiHeb., “Waisa mwoyo wako pamushumiri.”

Kana kuti “akaperera kuna Mwari.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “usauraya mweya wake.”

Kana kuti “nemaronda akaipa.”

Ichi chimedu chemudziyo wevhu unenge waputsika.

ChiHeb., “kutuka zuva rake.”

Kana kuti “Rima nemumvuri werufu.”

Zvinofungidzirwa kuti iri igarwe kana kuti imwe mhuka yakakura, ine simba, inogara mumvura.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Akazvivakira nzvimbo dzisina chinhu.”

Kana kuti “vaya vane mweya iri kushungurudzika.”

Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.

Kana kuti “vanoronga.”

Kana kuti “eshumba dzava nezenze.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “vatumwa vake.”

Aka kachipembenene kanodya machira.

Kana kuti “achaita sungano (chibvumirano) newe.”

ChiHeb., “tende rako rugare.”

Kana kuti “Ndokusaka ndanga ndichitaura ndisina kufunga.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kamuti aka kanobuda zvimvura zvinorembuka zvisinganaki.

Kana kuti “Mweya wangu waramba.”

Kana kuti “chandingarebesera upenyu hwangu (mweya wangu).”

Kana kuti “Chikwata chevafambi vekuSebhiya chinodzimirira.”

ChiHeb., “kudzikinurwa.”

Kana kuti “kusvikira mambakwedza.”

ChiHeb., “rakaona zvakanaka.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya wangu uchirwadziwa.”

Kana kuti “mweya wangu ungatosarudza.”

ChiHeb., “ndiine mapfupa angu.”

ChiHeb., “muise mwoyo wenyu paari.”

ChiHeb., “Akavaendesa muruoko rwekupanduka kwavo.”

ChiHeb., “Vobudisa mashoko mumwoyo mavo.”

ChiHeb., “Idzi ndidzo nzira dzevese.”

Kana kuti “anotsauka pakutenda.”

Kana kuti “Anotarisa imba yematombo.”

Kana kuti “amedzwa.”

Kana kuti “ndiko kuparara kwenzira yake.”

Kana kuti “vasina chavanopomerwa.”

ChiHeb., “haazobati ruoko rwevanhu vakaipa.”

Kana kuti “kumuendesa kudare.”

Kana kuti “Anobvisa.”

Aya mazita enyeredzi dzinooneka dzakaungana panzvimbo imwe chete, dzichibudisa chimiro chezvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai semhuka.

ChiHeb., “dzimba dzemukati dzekumaodzanyemba.”

Ringangova riri zimhuka remugungwa.

Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu wandaendesana naye kudare.”

ChiHeb., “kundishevedza kudare.”

Kana kuti “dai ndisina mhosva.”

Kana kuti “dai ndisina mhosva.”

Kana kuti “handizivi mweya wangu.”

Kana kuti “Handifariri.”

Kana kuti “vanoramba vakaperera.”

ChiHeb., “zviso zvevatongi vayo.”

ChiHeb., “ndakaipa.”

Kana kuti “nemadota.”

Kana kuti “angatiyananisa.”

ChiHeb., “Angaisa ruoko rwake patiri tese.”

ChiHeb., “abvisa shamhu yake pandiri.”

Kana kuti “Mweya wangu unosema.”

Kana kuti “mweya wangu uchirwadziwa.”

Kana kuti “nemadzira.”

ChiHeb., “Uye zvinhu izvi makazvivanza mumwoyo menyu.”

Kana kuti “ndimbofarawo.”

Kana kuti “yerima nemumvuri werufu.”

Kana kuti “munhu anotaura achizvikudza achanzi akarurama here?”

Kana kuti “kuziva panogumira Wemasimbaose.”

Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Kana dhongi remusango rikaberekwa riri munhu.”

Kana kuti “yekuparara kwemweya yavo.”

ChiHeb., “ndimi vanhu vacho.”

ChiHeb., “ndine mwoyo.”

Kana kuti “tsoka dzinotsvedza.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “taurai nenyika.”

Kana kuti “mune mweya wemunhu wese mupenyu.”

ChiHeb., “renyama yemunhu wese.”

Kana kuti “atorerwe zvese.”

Kana kuti “kwevakuru.”

ChiHeb., “anosunungura bhandi revane simba.”

ChiHeb., “Anobvisa mwoyo yevatungamiriri.”

Kana kuti “asingakanganwiki.”

ChiHeb., “Ndinotakurireiko nyama yangu nemazino angu?”

Kana kuti “mweya wangu.”

Kana kuti “akatsauka pakutenda.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Kana aripo, ndicharamba ndakanyarara, ndofa.”

ChiHeb., “Musandiitira zvinhu zviviri chete.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “iye,” zvichida ndiJobho ari kutaurwa.

Aka kachipembenene kanodya machira.

Dzimwe shanduro dzinoti, “ochekwa.”

Kana kuti “ndiuye kudare kuti mutonganiswe neni.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Mweya wake unongochema.”

Kana kuti “Kukanganisa kwako kunodzidzisa muromo wako.”

ChiHeb., “chingwa.”

Kana kuti “kukurira.”

Kureva, tariro yake yekupona.

ChiHeb., “wake.”

Kana kuti “yevakatsauka pakutenda.”

Kana kuti “vaya vanoungana neni.”

Kana kuti “simba rangu.” ChiHeb., “nyanga yangu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “rakatarisa kuna Mwari richishayiwa hope.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “chirevo.”

Kana kuti “vakatsauka pakutenda.”

Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “kuguva.”

Kureva, tariro yangu.

Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Kana kuti “eSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “sevanhu vasina kuchena.”

Kana kuti “ukadambura-dambura mweya wako.”

Kana kuti “akamhine.”

ChiHeb., “Dangwe rerufu rinodya.”

Kana kuti “mambo werufu runorwadza.”

ChiHeb., “Chimwe chinhu chisiri chake chichagara.”

ChiHeb., “anenge asina zita.”

Kana kuti “muchindishungurudza.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana Mweya.

Kana kuti “Manditsoropodza.”

Kana kuti “Hama dzangu.”

ChiHeb., “neganda repamazino angu.”

ChiHeb., “Musingagutswi nenyama yangu.”

ChiHeb., “pamusoro peguruva.”

Kana kuti “itsvo dzangu dzaneta mukatikati mangu.”

Kana kuti “Adhamu.”

Kana kuti “akatsauka pakutenda.”

Kana kuti “ndove.”

Kana kuti “senduru yemhungu.”

ChiHeb., “uye haazomedzi.”

ChiHeb., “kwake.”

Kana kuti “vachiva nesimba.”

Kana kuti “nerudimbwa.”

Kana kuti “kwemutopota.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva, rufu rusingatori nguva refu uye rusingarwadzi.

Kana kuti “Mazano.”

Kana kuti “yadimburwa nepakati.”

Kana kuti “anogona kudzidzisa Mwari chimwe chinhu here.”

Kana kuti “mwongo wemapfupa ake wakanyorova.”

Kana kuti “aine mweya unorwadziwa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti mundikuvadze.”

ChiHeb., “zviratidzo zvavo.”

ChiHeb., “Uye achakweva vanhu vese kuti vamutevere.”

Kana kuti “anofadzwa.”

ChiHeb., “unopfekenura nguo dzevasina kupfeka.”

ChiHeb., “nezviteyeso zveshiri.”

Kana kuti “vane upenyu hwakadimburirwa.”

ChiHeb., “nerwizi.”

Kureva, Mwari.

Kana kuti “munzizi dzine.”

Kana kuti “akatarisa pasi.”

Kureva, zuva rake rekutonga.

Dzimwe shanduro dzinoti, “kukohwa uswa mumunda.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vanosvina mafuta pakati pezvidziro zviri mumateru.”

Kana kuti “Mweya yevakuvadzwa iri.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mwari haapi mumwe munhu mhosva.”

ChiHeb., “vanochera vachipinda.”

ChiHeb., “Anokurumidza kana ari pamusoro pemvura.”

Kana kuti “neSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “Chibereko chichamukanganwa.”

ChiHeb., “Iye.”

ChiHeb., “panzira dzavo.”

Ichi ndicho chimusoro chezvirimwa zvakadai sezviyo, chinochekwa panokohwewa.

ChiHeb., “kunzvimbo dzake dzakakwirira.”

Kana kuti “akachena.”

Kana kuti “Sheori haina.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “pake.”

Kana kuti “Abhadhoni.”

ChiHeb., “Anotatamura chamhembe.”

ChiHeb., “Anoisa denderedzwa.”

ChiHeb., “Rahabhi.”

Kana kuti “nemhepo yake.”

ChiHeb., “nechirevo chake.”

Kana kuti “mweya wangu ushungurudzike.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “ndicharamba ndakaperera.”

Kana kuti “akatsauka pakutenda.”

Kana kuti “mweya wake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “neruoko rwaMwari.”

Aka kachipembenene kanodya machira.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vanomurovera maoko, vomuridzira muridzo vari panzvimbo pavo.”

Panofanira kunge pari kutaurwa zvinoitwa mumigodhi yekuchera matombo anokosha.

ChiHeb., “uremu hwayo.”

ChiHeb., “nechirevo chake.”

Kana kuti “nevashandi.”

ChiHeb., “ohwanda.”

Kana kuti “senguo isina maoko.”

ChiHeb., “mudendere rangu.”

Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vakanga vasingaiti kuti chiso changu chisuruvare.”

ChiHeb., “chirevo.”

ChiHeb., “adhambisa uta hwangu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Pasina kana anovabatsira.”

ChiHeb., “Mapfupa angu anoboorwa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Kurwadziwa nenhamo kwandiunyanidza-unyanidza.”

Kana kuti “Mweya wangu hauna.”

Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Dzimwe shanduro dzinoti, “kutsva nefivha.”

Ichi chiridzwa chinoita zvekufuridzwa.

Dzimwe shanduro dzinoti, “nevanhu venhema.”

Kana kuti “vazukuru vangu ngavadzurwe.”

ChiHeb., “ngavapfugame pamusoro pake.”

Kana kuti “Unodzura zvirimwa.”

Kana kuti “Kana paine nyaya yaari kuda kuti titonganiswe.”

ChiHeb., “akasimuka?”

ChiHeb., “muchibereko.”

ChiHeb., “ndaiita kuti maziso echirikadzi anete.”

ChiHeb., “ndichiri mudumbu raamai vangu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Pandaiona kuti ndine rutsigiro pamagedhi eguta.”

Kana kuti “Pfupa rangu repabendekete ngaridonhe.”

Kana kuti “neparwakabata napo; nepapfupa rarwo repamusoro.”

ChiHeb., “chiedza chichipenya.”

Kana kuti “ndichikumbira mweya wake.”

Kana kuti “aizviona seakarurama.”

ChiHeb., “mazuva ataure.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Mazuva mazhinji haasi iwo ega anoita.”

Kana kuti “atsiura Jobho.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “handizopi munhu zita rekuremekedza.”

ChiHeb., “Rurimi rwangu nemuromo wangu zvinofanira.”

Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “upenyu hwake kuti husapinda.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “nechombo chinoita zvekukandwa.”

Kana kuti “mweya wake unoramba.”

Kana kuti “Upenyu hwake hunoswedera.”

Kana kuti “neguva.”

Kana kuti “ngirozi.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “neutano.”

ChiHeb., “achaimbira.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Uye hazvina chazvakandibatsira.”

Kana kuti “upenyu hwangu kuti hurege.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “adzore mweya wake.”

Kana kuti “muguva.”

Kana kuti “panyika yese inogarwa.”

Kana kuti “mweya wavo.” Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Nyama yese ingaparara.”

Kana kuti “machinda kupfuura vakaderera.”

Kana kuti “akatsauka pakutenda.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Jobho ngaaedzwe, baba vangu.”

Angava achireva Mwari.

ChiHeb., “paruoko rwevane simba.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadza madzimambo.”

Kana kuti “nechombo chinoita zvekukandwa.”

Kana kuti “vakatsauka pakutenda.”

Kana kuti “Mweya yavo inofa.”

ChiHeb., “Iye.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “akapikisa nzira yake; akamubvunza nezvenzira yake.”

Kana kuti “hakutsvagiki.”

ChiHeb., “mudumba.”

ChiHeb., “chiedza chake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “chii chiri.”

ChiHeb., “anoisa chisimbiso paruoko rwemunhu wese.”

Kureva, raMwari.

Kana kuti “penyika inobereka.”

ChiHeb., “seshamhu.”

Kana kuti “anorayira.”

Kureva, chezuva.

ChiHeb., “ane mwoyo wakangwara.”

Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.

Kana kuti “pechisimbiso.”

Kana kuti “emumvuri werufu.”

ChiHeb., “mazuva.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mheni inopararira ichibva.”

Ona mashoko emuzasi ekutanga ari pana Job 9:9.

Ona mashoko emuzasi ekutanga ari pana Job 9:9.

ChiHeb., “dzeMazaroti.”

Ona mashoko emuzasi ekutanga ari pana Job 9:9.

Dzimwe shanduro dzinoti, “rake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mumunhu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “akaita kuti pfungwa dzinzwisise.”

Kana kuti “muchidyiro.”

Kana kuti “ihare.”

ChiHeb., “mbeu yako.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “akaita kuti ikanganwe.”

ChiHeb., “Rinoenda kunosangana nezvombo.”

ChiHeb., “rinomedza ivhu (pasi).”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Haribvumi.”

ChiHeb., “pazino redombo.”

Kana kuti “Ungaita kuti kururama kwangu kushaye simba here?”

ChiHeb., “Sunga zviso zvavo.”

Kana kuti “ndingakurumbidza.”

Inogona kunge iri mvuu.

Kana kuti “Madzira.”

Kana kuti “yemubani.”

ChiHeb., “chekuteyesa.”

Rinogona kunge riri garwe.

ChiHeb., “nemunzwa.”

Kana kuti “kunoita kuti uwire pasi.”

ChiHeb., “echiso chayo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Inozvikudza nemitsara yayo yemakwati.”

Ona mashoko emuzasi ari pana Job 2:8.

ChiHeb., “Chokwadi ndichasimudza chiso chake.”

ChiHeb., “Jehovha akachinja kutapwa kwaJobho.”

ChiHeb., “zvipani 1 000 zvemombe.”

ChiHeb., “nemadhongi makadzi.”

ChiHeb., “akwegura uye agutswa nemazuva.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe