ESTERI
1 Pamazuva aAhashivheroshi,* kureva Ahashivheroshi aitonga matunhu 127+ kubva kuIndiya kusvika kuItiopiya,* 2 pamazuva iwayo, Mambo Ahashivheroshi paakanga agere pachigaro chake cheumambo, munhare* inonzi* Shushani,*+ 3 mugore rechitatu rekutonga kwake, akaitira machinda ake ese nevashandi vake mabiko. Pamberi pake paiva neuto rePezhiya+ neMedhiya,+ nevakuru vakuru, nemachinda ematunhu, 4 uye akavaratidza pfuma yeumambo hwake hwaiva nemukurumbira, uye ukuru nekunaka nekukudzwa kwake, kwemazuva mazhinji, mazuva 180. 5 Pakapera mazuva aya, mambo akaitira vanhu vese vaiva munhare* yeShushani* mabiko kwemazuva manomwe, vakuru nevadiki, pachivanze chemumunda wemuzinda wamambo. 6 Paiva nemachira machena, nemamwe machira akagadzirwa nedonje, nemachira ebhuruu aiva akasungwa zvakasimba netambo dzakanaka dzakagadzirwa nejira, shinda dzepepuru dzaiva mumarin’i esirivha, mbiru dzedombo remabhura, nezvigaro zvegoridhe nesirivha zvaiva panzvimbo yakanga yakawaridzwa matombo epofiri, mabhura, maparera, nemabhura nhema.
7 Waini yainwirwa mukapu dzegoridhe;* hapana kapu yaiva yakafanana neimwe, uye waini yamambo yaiva zhinji, maererano nekuwana kwaiita mambo. 8 Pakunwa kwacho vaitevedzera murayiro wekuti hapana aifanira kumanikidzwa,* nekuti mambo akanga aronga nevakuru vemumuzinda kuti mumwe nemumwe aite zvaanoda.
9 Mambokadzi Vhashti+ akaitirawo vakadzi mabiko paimba yeumambo yaMambo* Ahashivheroshi.
10 Pazuva rechinomwe, mwoyo wamambo pawaiva wakafara newaini, akaudza Mehumani, Bhizta, Habhona,+ Bhigta, Abhagta, Zetari, naKakasi, vakuru vanomwe vemumuzinda avo vaiva vashandi vepedyo vaMambo Ahashivheroshi, 11 kuti vauye naMambokadzi Vhashti pamberi pamambo, akasunga jira reumambo* mumusoro, kuti mambo aratidze marudzi nemachinda kunaka kwake, nekuti aiva mukadzi akanaka chaizvo. 12 Asi mambo paaituma vakuru vemumuzinda kuti vanoshevedza Mambokadzi Vhashti, iye airamba kuuya. Mambo akabva atsamwa chaizvo uye akaviruka nehasha.
13 Mambo akabva ataura nevarume vakachenjera vaiva neruzivo rwenyaya dzakamboitika* (nekuti aya ndiwo mauyire aiita nyaya dzamambo pamberi pevanhu vese vaiziva mutemo nekutongwa kwenyaya, 14 uye vaya vaiva pedyo zvikuru naye vaiva Kashena, Shetari, Admata, Tashishi, Meresi, Masena, naMemukani, machinda manomwe+ ePezhiya neMedhiya, aibvumirwa kupinda maiva namambo uye aiva nezvinzvimbo zvepamusoro kupfuura vamwe vese muumambo hwacho). 15 Mambo akabvunza kuti: “Maererano nemutemo, chii chinofanira kuitwa kuna Mambokadzi Vhashti nekuramba kwaaita kuteerera zvataurwa naMambo Ahashivheroshi achishandisa vakuru vemumuzinda?”
16 Memukani akabva apindura ari pamberi pamambo nemachinda, achiti: “Mambokadzi Vhashti haana kungotadzira mambo chete, asi atadzirawo+ machinda ese nemarudzi ese ari mumatunhu ese aMambo Ahashivheroshi. 17 Nekuti zvaitwa namambokadzi zvichazivikanwa nemadzimai ese, uye achazvidza varume vawo uye achati, ‘Mambo Ahashivheroshi akati vauye naMambokadzi Vhashti pamberi pake, asi iye akaramba kuuya.’ 18 Nhasi chaiye machindakadzi ePezhiya neMedhiya ayo ari kuziva zvaitwa namambokadzi, achataura nemachinda ese amambo, uye zvichaita kuti pave nekuzvidzwa nekutsamwa kukuru. 19 Kana zvakanaka kuna mambo, ngapadzikwe murayiro namambo uye ngaunyorwe pamitemo yePezhiya neMedhiya, iyo isingachinjwi,+ kuti Vhashti haachatombofaniri kuuya pamberi paMambo Ahashivheroshi; uye mambo ngaape chinzvimbo chaVhashti muumambo kune mumwe mukadzi ari nani kumupfuura. 20 Pachanzwiwa murayiro wamambo muumambo hwake hwese hwakakura, madzimai ese achakudza varume vawo, kubva pane vari pamusoro kusvika pane vari pasi.”
21 Mashoko aya akafarirwa namambo nemachinda, uye mambo akaita zvakataurwa naMemukani. 22 Saka akatumira tsamba kumatunhu ese eumambo,+ kudunhu rimwe nerimwe mumanyorero aro uye kurudzi rumwe nerumwe mumutauro warwo, kuti murume wese ave tenzi* mumba make uye kuti ataure mutauro werudzi rwake.
2 Pashure pezvinhu izvi, hasha dzaMambo Ahashivheroshi+ padzakanga dzaserera, akayeuka zvakanga zvaitwa naVhashti+ nezvakanga zvasarudzwa pamusoro pake.+ 2 Vashandi vamambo vepedyo vakabva vati: “Mambo anofanira kutsvagirwa mhandara dzechidiki dzakanaka. 3 Uye mambo ngaagadze vamiririri mumatunhu ese eumambo hwake,+ kuti vaunganidze mhandara dzese dzechidiki dzakanaka kunhare* inonzi* Shushani,* kuimba yevakadzi. Ngavaiswe mumaoko aHegai+ mukuru mukuru* wemumuzinda wamambo, muchengeti wevakadzi, uye ngavatsvindiswe.* 4 Musikana anenge afarirwa namambo kupfuura vese ndiye achava mambokadzi panzvimbo paVhashti.”+ Mashoko acho akafadza mambo, uye ndizvo zvaakaita.
5 Kwaiva nemumwe murume wechiJudha aiva munhare yeShushani+ ainzi Modhekai+ mwanakomana waJairi mwanakomana waShimei mwanakomana waKishi, muBhenjamini,+ 6 uyo akanga atapwa kubva kuJerusarema nevanhu vakabudiswa munyika pamwe chete naMambo Jekoniya*+ weJudha, uyo akatapwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi. 7 Ndiye aichengeta Hadhasa,* kureva Esteri, mwanasikana wehama yababa vake,+ nekuti akanga asina baba kana amai. Musikana wacho aiva nechimiro chakanaka uye akanaka pachiso, uye pakafa baba vake naamai vake, Modhekai akamutora kuti ave mwanasikana wake. 8 Pakaziviswa shoko ramambo nemutemo wake uye vasikana vakawanda pavakaunganidzwa munhare yeShushani* vari mumaoko aHegai,+ Esteri akaendeswawo kuimba yamambo* achichengetwa naHegai muchengeti wevakadzi.
9 Akafadzwa nemusikana wacho uye akamufarira,* saka akakurumidza kuronga nezvekutsvindiswa*+ kwake uye zvekudya zvaaifanira kupiwa, uye akamupa vasikana vechidiki 7 vakasarudzwa vekuimba yamambo. Akamutamisirawo kunzvimbo yakanaka kwazvo muimba yevakadzi iye pamwe chete nevasikana vechidiki vaimushumira. 10 Esteri haana kana chaakataura nezvevanhu vekwake+ kana nezvehama dzake, nekuti Modhekai+ akanga amurayira kuti asawana waanoudza.+ 11 Zuva nezuva Modhekai aifamba nepamberi pechivanze cheimba yevakadzi kuti azive kuti Esteri akadii uye kuti chii chaiitika kwaari.
12 Musikana mumwe nemumwe aiva nejana rekupinda maiva naMambo Ahashivheroshi kana apedza kutsvindiswa kwemwedzi 12 yainzi vakadzi vacho vaifanira kutsvindiswa, nekuti izvi ndizvo zvavaifanira kuita kuti vapedze kutsvindiswa:* mwedzi 6 nemafuta emura,+ uye mwedzi 6 nemafuta ebharisamu+ pamwe chete nemafuta akasiyana-siyana ekutsvindisa.* 13 Zvadaro musikana wacho ainge ava kukwanisa kupinda maiva namambo, uye aipiwa chero chaaikumbira paaibva kuimba yevakadzi achienda kuimba yamambo. 14 Aipinda manheru, uye mangwanani aidzokera kuimba yechipiri yevakadzi, pasi paShaashgazi mukuru mukuru wemumuzinda wamambo,+ muchengeti wevarongo. Aisazopindazve maiva namambo kunze kwekunge anyatsofarirwa namambo uye ashevedzwa nezita kuti auye.+
15 Pakasvika jana raEsteri mwanasikana waAbhihairi hama yaModhekai, uyo akanga amutora kuti ave mwanasikana wake,+ rekuti apinde maiva namambo, haana chaakakumbira kunze kwezvakataurwa naHegai mukuru mukuru wemumuzinda* wamambo, muchengeti wevakadzi. (Nguva yese iyi Esteri aifarirwa nemunhu wese aimuona.) 16 Esteri akaendeswa kuna Mambo Ahashivheroshi paimba yake yeumambo mumwedzi wechi10, kureva mwedzi waTebheti,* mugore rechi7+ rekutonga kwake. 17 Mambo akada Esteri kupfuura vamwe vakadzi vese, uye Esteri akawana nyasha kwaari uye akafarirwa kupfuura dzimwe mhandara dzese. Saka mambo akamuisa jira reumambo* mumusoro, akamuita mambokadzi+ panzvimbo paVhashti.+ 18 Mambo akaitira machinda ake ese nevashandi vake mabiko makuru, mabiko aEsteri. Akabva azivisa kuti vasungwa vasunungurwe mumatunhu acho, uye akaramba achipa zvipo maererano nekuwana kwaiita mambo.
19 Panguva yakaunganidzwa mhandara*+ kechipiri, Modhekai akanga agere pagedhi ramambo. 20 Esteri haana kana chaakataura nezvehama dzake uye nezvevanhu vekwake,+ sezvaakanga arayirwa naModhekai; Esteri akaramba achiita zvakanga zvataurwa naModhekai, sezvaaingoita paaichengetwa naye.+
21 Pamazuva iwayo Modhekai paakanga agere pagedhi ramambo, Bhigtani naTereshi, vakuru vaviri vemumuzinda wamambo, vachengeti vemasuo, vakatsamwa vakaronga kuuraya* Mambo Ahashivheroshi. 22 Asi Modhekai akazviziva, uye akakurumidza kuudza Mambokadzi Esteri. Esteri akabva ataura namambo muzita raModhekai.* 23 Saka nyaya yacho yakaferefetwa zvikazoonekwa kuti ndezvechokwadi, uye varume vacho vaviri vakaturikwa padanda; uye zvese izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yacho pamberi pamambo.+
3 Pashure peizvi Mambo Ahashivheroshi akakwidziridza Hamani+ mwanakomana waHamedhata muAgagi+ uye akamukudza nekumupa chigaro chepamusoro kupfuura mamwe machinda ese aaiva nawo.+ 2 Vashandi vese vamambo vaiva pagedhi ramambo vaikotama pamberi paHamani nekumupfugamira, nekuti ndizvo zvakanga zvarayirwa namambo pamusoro pake. Asi Modhekai akaramba kukotama kana kupfugama. 3 Saka vashandi vamambo vaiva pagedhi ramambo vakati kuna Modhekai: “Nei usiri kuteerera murayiro wamambo?” 4 Vaimubvunza zuva nezuva, asi aisavateerera. Vakabva vaudza Hamani kuti vaone kuti Modhekai aizongosiyiwa akadaro here nezvaaiita;+ nekuti akanga avaudza kuti aiva muJudha.+
5 Hamani paakaona kuti Modhekai airamba kumukotamira nekumupfugamira, Hamani akashatirwa chaizvo.+ 6 Asi zvaizvidzika kwaari kuti auraye* Modhekai ega, nekuti vakanga vamuudza nezvevanhu vaModhekai. Saka Hamani akatanga kutsvaga kuparadza vaJudha vese vaiva muumambo hwese hwaAhashivheroshi, vanhu vese vaModhekai.
7 Mumwedzi wekutanga, kureva mwedzi waNisani,* mugore rechi12+ raMambo Ahashivheroshi, vakakanda Puri+ (kureva Mujenya) pamberi paHamani kuti vazive zuva racho nemwedzi wacho, uye yakawira pamwedzi wechi12, kureva Adhari.*+ 8 Hamani akabva ati kuna Mambo Ahashivheroshi: “Pane vamwe vanhu vakapararira+ uye vari kwese kwese pakati pemarudzi ari mumatunhu ese eumambo hwenyu,+ vane mitemo yavo yakasiyana neyevamwe vanhu vese; uye havateereri mitemo yamambo, uye kuvasiya vakadaro kunokanganisa zvido zvamambo. 9 Kana zvakanaka kuna mambo, ngapanyorwe murayiro wekuti vaparadzwe. Ndichabhadhara matarenda* 10 000 esirivha kuvakuru vakuru kuti aiswe munochengeterwa pfuma yamambo.”*
10 Mambo akabva abvisa rin’i yake ine chidhindo+ muruoko rwake akaipa Hamani+ mwanakomana waHamedhata muAgagi,+ uyo aivenga vaJudha. 11 Mambo akati kuna Hamani: “Sirivha nevanhu vacho zvaiswa mumaoko ako, kuti uite zvaunoda navo.” 12 Vanyori vamambo+ vakabva vashevedzwa pazuva rechi13 remwedzi wekutanga. Vakanyora+ zvese zvakarayirwa naHamani kumachinda amambo, magavhuna aitungamirira matunhu acho, nemachinda ekumarudzi akasiyana-siyana, kudunhu rimwe nerimwe mumanyorero aro uye kurudzi rumwe nerumwe mumutauro warwo. Zvakanyorwa muzita raMambo Ahashivheroshi zvikaiswa chidhindo nerin’i yamambo ine chidhindo.+
13 Tsamba dzacho dzakatumirwa nenhume kumatunhu ese amambo, dzichirayira kuti vatsakatise, vauraye, uye vaparadze vaJudha vese, vakuru nevadiki, vakadzi nevana, pazuva rimwe chete, pazuva rechi13 remwedzi wechi12, kureva mwedzi waAdhari,+ uye kuti vavatorere zvinhu zvavo.+ 14 Mashoko egwaro racho aifanira kuitwa mutemo mumatunhu ese uye kuziviswa kumarudzi ese, kuti vagadzirire zuva iri. 15 Nhume dzacho dzakaenda nekukurumidza+ dzarayirwa namambo; mutemo wacho ukadzikwa munhare* inonzi* Shushani.*+ Mambo naHamani vakabva vagara pasi kuti vanwe, asi guta reShushani* rakanga ravhiringidzika.
4 Modhekai+ paakaziva zvinhu zvese zvakanga zvaitwa,+ akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazora madota. Akabva abuda akaenda pakati peguta, achichema achiridza mhere neshungu. 2 Asi akangogumira pagedhi ramambo, nekuti hapana aifanira kupinda mugedhi ramambo akapfeka masaga. 3 Uye mumatunhu ese+ akasvika shoko ramambo nemurayiro wake, makava nekuchema kukuru pavaJudha, vachitsanya+ nekusvimha misodzi, vachiridza mhere. Vakawanda vairara pamasaga nemumadota.+ 4 Vasikana vaishandira Esteri uye vashandi vake vechirume* pavakapinda vakamuudza, mambokadzi akanetseka chaizvo. Akabva atumira nguo dzekuti Modhekai apfeke pane kuti apfeke masaga ake, asi akadziramba. 5 Esteri akabva ashevedza Hataki, mumwe wevakuru vakuru vemumuzinda* wamambo, akanga agadzwa namambo kuti ashandire Esteri, uye akamurayira kuti abvunze Modhekai kuti azive kuti izvi zvairevei uye kuti chii chakanga chichiitika.
6 Saka Hataki akabuda, akaenda kwaiva naModhekai munzvimbo yeguta yaiungana vanhu yaiva pamberi pegedhi ramambo. 7 Modhekai akamuudza zvinhu zvese zvakanga zvaitika kwaari neuwandu hwemari+ yakanga yavimbiswa naHamani kuti aizobhadhara achiisa munochengeterwa pfuma yamambo kuti vaJudha vaparadzwe.+ 8 Akamupawo gwaro remurayiro wakanga wadzikwa muShushani*+ kuti vaparadzwe. Aifanira kunoriratidza Esteri nekumutsanangurira nezvaro uye kunomuudza+ kuti apinde maiva namambo kuti ateterere kuti mambo anzwe nyasha uye akumbirire vanhu vekwake kuna mambo chaiko.
9 Hataki akadzoka akaudza Esteri zvakanga zvataurwa naModhekai. 10 Esteri akapindura Hataki achimuudza zvaaifanira kunoudza Modhekai+ achiti: 11 “Vashandi vese vamambo nevanhu vemumatunhu amambo vanoziva kuti kana pakava nemurume kana mukadzi anopinda muchivanze chemukati+ chamambo asina kushevedzwa, panongova nemutemo mumwe chete uripo wekuti: Anofanira kuurayiwa; anogona kungosiyiwa ari mupenyu chete kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yeumambo yegoridhe.+ Uye ini ndatova nemazuva 30 ndisina kushevedzwa namambo.”
12 Modhekai paakaudzwa zvakanga zvataurwa naEsteri, 13 akapindura Esteri achiti: “Usafunga kuti zvauri muimba yamambo iwe wega ndiwe uchapukunyuka pane vamwe vaJudha vese. 14 Nekuti kana ukaramba wakanyarara panguva ino, kubatsirwa nekununurwa kuchauya kuvaJudha kuchibva kumwe,+ asi iwe neimba yababa vako, muchaparara. Uye ndiani anoziva kana wakava mambokadzi nekuda kwenguva yakaita seino?”+
15 Esteri akabva apindura Modhekai achiti: 16 “Endai munounganidza vaJudha vese vari muShushani* munditsanyire.+ Musadya kana kunwa kwemazuva matatu,+ masikati neusiku. Ini nevasikana vanondishandira tichatsanyawo. Ndichapinda muna mambo kunyange zvisingabvumirwi nemutemo, uye kana ndikaparara, ngandiparare hangu.” 17 Saka Modhekai akaenda, akaita zvese zvaakanga arayirwa naEsteri.
5 Pazuva rechitatu,+ Esteri akapfeka nguo dzake dzeumambo akanomira pachivanze chemukati chemuzinda wamambo, pakatarisana neimba yamambo, mambo paakanga agere pachigaro chake cheumambo muimba yeumambo pakatarisana nesuo. 2 Mambo paakangoona Mambokadzi Esteri akamira pachivanze, akamunzwira nyasha, uye mambo akatambanudzira tsvimbo yeumambo yegoridhe+ yaiva muruoko rwake kuna Esteri. Esteri akabva aswedera pedyo, akabata pamusoro petsvimbo yeumambo.
3 Mambo akamubvunza kuti: “Zvaita sei nhai Mambokadzi Esteri? Chii chauri kuda kukumbira? Uchapiwa kunyange kusvika pahafu yeumambo hwangu!”* 4 Esteri akapindura achiti: “Kana zvakanaka kuna mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani+ kumabiko andamugadzirira.” 5 Saka mambo akati kuvarume vake: “Udzai Hamani kuti auye nekukurumidza, sezvakumbirwa naEsteri.” Saka mambo naHamani vakaenda kumabiko akanga agadzirwa naEsteri.
6 Pavakanga vava kunwa waini pamabiko acho, mambo akati kuna Esteri: “Chii chauri kuteterera kuti upiwe? Uchachipiwa! Uye chii chauri kukumbira? Uchapiwa kunyange kusvika pahafu yeumambo hwangu!”*+ 7 Esteri akapindura kuti: “Chandiri kutetererera uye chandiri kukumbira ndeichi, 8 Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvakanaka kuna mambo kundipa zvandiri kutetererera uye kundipa zvandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumabiko andichavaitira mangwana; uye mangwana ndichaita sezvataurwa namambo.”
9 Zuva iroro Hamani akabuda achifara, mwoyo wake uchifara. Asi Hamani paakaona Modhekai pagedhi ramambo uye kuti haana kumusimukira kana kubvunda pamberi pake, Hamani akabva ashatirirwa Modhekai+ kwazvo. 10 Zvisinei, Hamani akazvidzora akaenda kumba kwake. Akabva atumira shoko kuti shamwari dzake naZereshi+ mudzimai wake vashevedzwe. 11 Hamani akadada nepfuma yake zhinji, vanakomana vake vakawanda,+ nekukwidziridzwa kwaakanga aitwa namambo uye kukudzwa kwaakanga aitwa achiiswa pamusoro pemachinda nevashandi vamambo.+
12 Hamani akatiwo: “Pamusoro paizvozvo, Mambokadzi Esteri haana mumwe waakoka kuti auye namambo kumabiko aagadzira+ kunze kwangu. Ndakokwawo mangwana kuti ndive pamwe chete naye namambo.+ 13 Asi zvese izvi hazvisi kundifadza kana ndichiri kuona Modhekai muJudha agere pagedhi ramambo.” 14 Saka shamwari dzake dzese nemudzimai wake Zereshi vakati kwaari: “Ita kuti danda rakareba makubhiti 50* ridzikwe. Uye mangwanani ibva wataurira mambo kuti Modhekai anofanira kuturikwa pariri.+ Ubve waenda namambo kunofara kumabiko.” Mashoko acho akafadza Hamani, saka akaita kuti danda racho ridzikwe.
6 Usiku ihwohwo mambo akatadza kurara.* Saka akati vauye nebhuku renhoroondo yepanguva yacho+ uye rakaverengerwa mambo. 2 Vakawana makanyorwa zvakanga zvafumurwa naModhekai pamusoro paBhigtana naTereshi, vakuru vaviri vemumuzinda wamambo, vachengeti vemasuo, avo vakanga varonga kuuraya* Mambo Ahashivheroshi.+ 3 Mambo akabvunza kuti: “Modhekai akapiwa rukudzo neruremekedzo here pamusoro peizvi?” Vashandi vamambo vepedyo vakabva vati: “Hapana chaakaitirwa.”
4 Gare gare mambo akati: “Ndiani ari pachivanze?” Zvino Hamani akanga auya pachivanze chekunze+ cheimba yamambo* kuti ataure namambo nezvekuti Modhekai aturikwe padanda raakanga amugadzirira.+ 5 Vashandi vamambo vakati kwaari: “NdiHamani+ akamira pachivanze.” Saka mambo akati: “Itai kuti apinde.”
6 Hamani paakapinda, mambo akati kwaari: “Chii chingaitwa namambo kumunhu waanenge afarira kukudza?” Hamani akati mumwoyo make: “Mambo angada kukudza ani kupfuura ini?”+ 7 Saka Hamani akati kuna mambo: “Kana ari munhu uyo mambo afarira kukudza, 8 ngavauye nezvipfeko zveumambo+ zvinopfekwa namambo nebhiza ramambo raanotasva, riine chishongo cheumambo mumusoro waro. 9 Zvipfeko zvacho nebhiza racho ngazviiswe mumaoko emumwe wemachinda amambo anokudzwa, uye ngavapfekedze munhu anenge achikudzwa namambo, voita kuti atasve bhiza racho munzvimbo yeguta inoungana vanhu. Vanofanira kushevedzera pamberi pake vachiti: ‘Izvi ndizvo zvinoitirwa munhu anenge achikudzwa namambo!’”+ 10 Mambo akabva ati kuna Hamani: “Kurumidza! Tora zvipfeko uye bhiza, uitire Modhekai muJudha agere pagedhi ramambo zvauchangobva kutaura. Hapana chaunofanira kusiya pane zvawataura.”
11 Saka Hamani akatora zvipfeko zvacho nebhiza racho, akapfekedza Modhekai,+ akaita kuti aritasve munzvimbo yeguta yaiungana vanhu, akashevedzera ari pamberi pake achiti: “Izvi ndizvo zvinoitirwa munhu anenge achikudzwa namambo!” 12 Pashure pacho Modhekai akadzokera kugedhi ramambo, asi Hamani akakurumidza kuenda kumba kwake, achichema akafukidza musoro. 13 Hamani paakaudza shamwari dzake dzese nemudzimai wake Zereshi+ zvese zvakanga zvaitika kwaari, varume vake vakachenjera nemudzimai wake Zereshi vakati kwaari: “Kana Modhekai wawatanga kuwa pamberi pake ari mumwe wevaJudha,* hauzomukundi; chokwadi uchawa pamberi pake.”
14 Vachiri kutaura naye, vakuru vemumuzinda vakasvika vakakurumidza kuenda naHamani kumabiko akanga agadzirwa naEsteri.+
7 Mambo naHamani+ vakapinda maiitirwa mabiko aMambokadzi Esteri. 2 Mambo akatizve kuna Esteri pazuva rechipiri, pavakanga vava kunwa waini pamabiko acho: “Chii chauri kuteterera kuti upiwe, Mambokadzi Esteri? Uchachipiwa. Uye chii chauri kuda kukumbira? Uchapiwa kunyange kusvika pahafu yeumambo hwangu!”*+ 3 Mambokadzi Esteri akapindura kuti: “Kana mandinzwira nyasha, haiwa mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndiri kuteterera kuti ndirege kuurayiwa,* uye ndiri kukumbira kuti vanhu vangu+ vasaparadzwa. 4 Nekuti tatengeswa,+ ini nevanhu vangu, kuti titsakatiswe, tiurayiwe uye tiparadzwe.+ Kudai tanga tangotengeswa kuti tive hedu varandarume nevarandakadzi, ndingadai ndaramba ndakanyarara. Asi dambudziko racho harina kunaka nekuti richakuvadza mambo.”
5 Mambo Ahashivheroshi akabva ati kuna Mambokadzi Esteri: “Ndiani iyeye, uye aripi munhu azvishingisa kuita izvozvo?” 6 Esteri akati: “Mhandu yacho nemuvengi ndiHamani uyu akaipa.”
Hamani akatya mambo namambokadzi zvisingaiti. 7 Mambo akasimuka pamabiko acho panguva yekunwa waini akashatirwa, akapinda mumunda wemuzinda, asi Hamani akasimuka kuti ateterere Mambokadzi Esteri kuti asaurayiwa, nekuti akaona kuti mambo aizomuranga chete. 8 Mambo akadzoka kuimba yemabiko yainwirwa waini achibva mumunda wemuzinda uye akaona kuti Hamani akanga azviwisira pachigaro paiva naEsteri. Mambo akashevedzera kuti: “Ava kuda kubatawo mambokadzi chibharo mumba mangu here?” Pakangobuda mashoko aya mumuromo mamambo, vakafukidza chiso chaHamani. 9 Habhona,+ mumwe wevakuru vemumuzinda wamambo, akabva ati: “Hamani akagadzirawo danda raModhekai,+ uyo akataura zvakaponesa mambo.+ Rakamiswa pamba paHamani, uye rakareba makubhiti 50.”* Mambo akabva ati: “Muturikei pariri.” 10 Vakabva vaturika Hamani padanda raakanga agadzirira Modhekai, uye hasha dzamambo dzakaserera.
8 Zuva iroro Mambo Ahashivheroshi akapa Mambokadzi Esteri imba yaHamani,+ uyo aivenga vaJudha;+ uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nekuti Esteri akanga ataura kuti Modhekai ndiani wake.+ 2 Mambo akabva abvisa rin’i yake ine chidhindo+ yaakanga atorera Hamani, akaipa Modhekai. Uye Esteri akaisa imba yaHamani mumaoko aModhekai.+
3 Esteri akataurazve namambo. Akapfugama patsoka dzake, akachema, akamuteterera kuti abvise dambudziko rakanga raunzwa naHamani muAgagi nezvakaipa zvaakanga arongera vaJudha.+ 4 Mambo akatambanudzira Esteri+ tsvimbo yeumambo yegoridhe, Esteri achibva asimuka akamira pamberi pamambo. 5 Akati: “Kana zvakanaka kuna mambo, uye kana achindinzwira nyasha, uye kana zvakakodzera kuna mambo uye kana ndichifarirwa namambo, ngapanyorwe murayiro kuti uchinje magwaro akanyorwa naHamani+ uya wekuruka mazano, mwanakomana waHamedhata muAgagi,+ aakanyora kuti aparadze vaJudha vari mumatunhu ese amambo. 6 Nekuti ndingagona sei kutarisa dambudziko richawira vanhu vekwangu, uye ndingagona sei kutarisa hama dzangu dzichiparadzwa?”
7 Saka Mambo Ahashivheroshi akati kuna Mambokadzi Esteri naModhekai muJudha: “Onai! Ndapa Esteri+ imba yaHamani, uye ndaita kuti iye aturikwe padanda+ nemhaka yezano rake rekuda kurwisa vaJudha.* 8 Iye zvino munogona kunyora muzita ramambo chero zvamunofunga kuti zvakanaka muchiitira vaJudha, mozvidhinda nerin’i yamambo ine chidhindo, nekuti murayiro unenge wanyorwa muzita ramambo wodhindwa nerin’i yamambo ine chidhindo haugoni kubviswa.”+
9 Saka vanyori vamambo vakashevedzwa panguva iyoyo mumwedzi wechitatu, kureva mwedzi waSivhani,* pazuva rechi23, uye vakanyora zvese zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, uye kumachinda,+ magavhuna, nemachinda ematunhu+ kubva kuIndiya kusvika kuItiopiya, matunhu 127, kudunhu rimwe nerimwe mumanyorero aro uye kurudzi rumwe nerumwe mumutauro warwo, nekuvaJudha mumanyorero avo uye mumutauro wavo.
10 Akazvinyora muzita raMambo Ahashivheroshi, akaisa chidhindo nerin’i yamambo ine chidhindo,+ akatumira magwaro acho neruoko rwenhume dzaitasva mabhiza; nhume dzacho dzakatasva mabhiza anomhanya aishandiswa kuendesa tsamba, ayo aichengeterwa basa ramambo. 11 Mumagwaro aya mambo akabvumira vaJudha vaiva mumaguta ese akasiyana-siyana kuti vaungane uye varwire upenyu hwavo,* kuti vatsakatise, vauraye, uye vaparadze chero uto raizovarwisa revanhu chero vapi zvavo kana dunhu, kusanganisira vakadzi nevana, uye kuti vavatorere zvinhu zvavo.+ 12 Izvi zvaifanira kuitika pazuva rimwe chete mumatunhu ese aMambo Ahashivheroshi, pazuva rechi13 remwedzi wechi12, kureva mwedzi waAdhari.*+ 13 Mashoko egwaro racho aifanira kuitwa mutemo mumatunhu ese. Aifanira kuziviswa marudzi ese, kuti vaJudha vange vakagadzirira pazuva racho kuti vatsive vavengi vavo.+ 14 Nhume dzacho, idzo dzainge dzakatasva mabhiza aishandiswa kuendesa tsamba mubasa ramambo, dzakabva dzangokurumidza kuenda dzichimhanya sezvakanga zvarayirwa namambo. Mutemo wacho wakapiwawo munhare* inonzi* Shushani.*+
15 Zvino Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka zvipfeko zveumambo zvejira rebhuruu nejira jena, akapfeka korona huru yegoridhe, nejira rakanaka chaizvo reshinda yepepuru.+ Uye guta reShushani* rakashevedzera nemufaro. 16 VaJudha vakazorodzwa* uye vakava nemufaro mukuru nekupembera, nekukudzwa. 17 Uye mumatunhu ese nemaguta ese akasvika murayiro wamambo nemutemo wake, vaJudha vaifara chaizvo uye vaipembera nemufaro, vachiita mabiko nemhemberero. Vanhu vazhinji vemarudzi enyika yacho vakanga vava kuzviti vaJudha,+ nekuti vakanga vava kutya vaJudha zvikuru.
9 Pazuva rechi13 remwedzi wechi12, kureva mwedzi waAdhari,*+ apo paifanira kuitwa+ zvakanga zvataurwa namambo uye zvaiva mumutemo waakanga adzika, pazuva iro vavengi vevaJudha vaitarisira kuti vachavakunda, zvinhu zvakachinja, uye vaJudha vakakunda vaya vaivavenga.+ 2 VaJudha vakaungana mumaguta avo mumatunhu ese aMambo Ahashivheroshi+ kuti varwise vaya vaitsvaga kuvakuvadza, uye hapana munhu akakwanisa kumirisana navo, nekuti marudzi ese akanga ava kuvatya zvikuru.+ 3 Uye vaJudha vaitsigirwa nemachinda ese ematunhu, nemamwe machinda,+ magavhuna, nevanhu vaiita basa ramambo, nekuti vaitya Modhekai. 4 Modhekai akanga ava nesimba+ muimba yamambo* uye mukurumbira wake wakanga uchipararira mumatunhu ese, nekuti Modhekai airamba achiwedzera kuva nesimba.
5 VaJudha vakabaya vavengi vavo vese nebakatwa, vachivauraya uye vachivaparadza; vakaita zvese zvavaida kune vaya vaivavenga.+ 6 Munhare* inonzi* Shushani,*+ vaJudha vakauraya uye vakaparadza varume 500. 7 Vakaurayawo Pashandata, Dharifoni, Aspata, 8 Porata, Adhariya, Aridhata, 9 Pamashta, Arisai, Aridhai, naVhaizata, 10 ivo vanakomana gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, uyo aivenga vaJudha.+ Asi pavakavauraya, havana chavakapamba.+
11 Pazuva iroro mambo akaudzwa uwandu hwevaya vakaurayiwa munhare yeShushani.*
12 Mambo akati kuna Mambokadzi Esteri: “Munhare yeShushani,* vaJudha vauraya nekuparadza varume 500 nevanakomana gumi vaHamani. Ko kuzoti mune mamwe matunhu ese amambo+ vaitei? Iye zvino chii chaunotetererera? Uchachipiwa. Uye chii chimwezve chaunokumbira? Chichaitwa.” 13 Esteri akapindura kuti: “Kana zvichifadza mambo,+ vaJudha vari muShushani* ngavabvumirwewo mangwana kuita maererano nemutemo wanhasi;+ uye vanakomana gumi vaHamani ngavaturikwe padanda.”+ 14 Saka mambo akarayira kuti izvozvo zviitwe. Pakabva padzikwa mutemo muShushani,* uye vanakomana gumi vaHamani vakaturikwa.
15 VaJudha vaiva muShushani* vakaunganazve pazuva rechi14 remwedzi waAdhari,+ vakauraya varume 300 muShushani;* asi havana chavakapamba.
16 Vamwe vaJudha vese vaiva mumatunhu amambo vakaunganawo, vakarwira upenyu hwavo.*+ Vakaparadza vavengi vavo,+ vakauraya vanhu 75 000 pane vaya vaivavenga; asi havana chavakapamba. 17 Izvi zvakaitika pazuva rechi13 remwedzi waAdhari, uye vakazorora pazuva rechi14, vakariita zuva remabiko nerekufara.
18 VaJudha vaiva muShushani* vakaungana pazuva rechi13+ nerechi14,+ vakazorora pazuva rechi15, uye vakariita zuva remabiko nekufara. 19 Ndokusaka vaJudha vaigara mumaguta ematunhu ekure vakaita kuti zuva rechi14 remwedzi waAdhari rive zuva rekufara neremabiko, zuva rekupemberera,+ uye kuti rive nguva yekutumirana zvekudya.+
20 Modhekai+ akanyora zvinhu izvi, akatumira tsamba kuvaJudha vese vaiva mumatunhu ese aMambo Ahashivheroshi aiva pedyo neaiva kure. 21 Akavarayira kuti vachengete zuva rechi14 remwedzi waAdhari, nezuva rechi15, gore rimwe nerimwe, 22 nekuti pamazuva aya vaJudha vakazorora pavavengi vavo uye mwedzi iwoyo kusuwa kwavo kwakachinja kukava kufara uye kuchema kwavo+ kukava zuva rekupembera. Vaifanira kuachengeta vachiita kuti ave mazuva emabiko neekufara uye ekutumirana zvekudya neekutumira varombo zvipo.
23 VaJudha vakabvuma kuramba vachiita mhemberero yavakanga vatanga uye kuita zvavakanyorerwa naModhekai. 24 Nekuti Hamani+ mwanakomana waHamedhata, muAgagi,+ uyo aivenga vaJudha vese, akanga aruka zano rekuparadza vaJudha,+ uye akanga akanda Puri,+ kureva Mujenya, kuti avatyisidzire uye kuti avaparadze. 25 Asi Esteri paakauya pamberi pamambo, mambo akapa murayiro wakanyorwa waiti:+ “Zano rake rakaipa raarongera vaJudha+ ngarimudzokere”;* uye vakamuturika iye nevanakomana vake padanda.+ 26 Ndokusaka vakashevedza mazuva aya kuti Purimu, vachitora zita racho paPuri*+ yacho. Saka nekuda kwezvese zvakanga zvakanyorwa mutsamba iyi, nezvavakaona panyaya iyi uye zvakanga zvaitika kwavari, 27 vaJudha vakasarudza kuti ivo nevazukuru vavo, nevaya vaibatana navo,+ vaifanira kupemberera mazuva maviri aya vasingaregi uye kuti vaite zvakanyorwa pamusoro pavo gore rimwe nerimwe panguva yakasarudzwa. 28 Muzvizvarwa zvese zvaizotevera, mazuva aya aifanira kuyeukwa uye kuchengetwa nemhuri imwe neimwe, dunhu rimwe nerimwe neguta rimwe nerimwe; uye mazuva aya ePurimu haafaniri kuguma pavaJudha; anofanira kuramba achiyeukwa nevazukuru vavo.
29 Mambokadzi Esteri, mwanasikana waAbhihairi, naModhekai muJudha vakabva vanyora tsamba yechipiri ine chekuita nePurimu vakaisimbisa nemasimba avakanga vapiwa. 30 Tsamba dzacho dzakatumirwa kuvaJudha vese vaiva mumatunhu 127,+ ihwo umambo hwaAhashivheroshi,+ nemashoko erugare nechokwadi 31 kuti vasimbise kuti mazuva aya ePurimu aifanira kuchengetwa panguva yawo yakasarudzwa, sezvavakanga varayirwa+ naModhekai muJudha naMambokadzi Esteri, uye sezvavakanga vasarudza kuti vaifanira kuita*+ ivo nevazukuru vavo, zvaisanganisira kutsanya+ nekuteterera.+ 32 Uye murayiro waEsteri wakasimbisa nyaya idzi dzePurimu,+ zvikanyorwa mubhuku.
10 Mambo Ahashivheroshi akaitisa vanhu vaiva munyika yacho nemuzvitsuwa zvegungwa basa rekumanikidzwa.
2 Uye mabasa ake ese makuru ayo airatidza simba rake, uyewo nhoroondo izere yeukuru hwaModhekai+ hwaakapiwa namambo,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva+ dzemadzimambo eMedhiya nePezhiya?+ 3 Nekuti Modhekai muJudha aiva wechipiri kuna Mambo Ahashivheroshi. Aiva nemukurumbira* pavaJudha, uye airemekedzwa nehama dzake idzo dzaiva zhinji, achishanda kuti aitire vanhu vake zvakanaka uye kuti zvizvarwa zvavo zvese zvaitevera zvigare zvakanaka.*
Zvinonzi ndiye Zekisesi I, mwanakomana waDhariyasi Akakurumbira (Dhariyasi Histasipisi).
Kana kuti “kuKushi.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “mumuzinda unonzi.”
Kana kuti “Susa.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “yeSusa.”
Kana kuti “mumidziyo yegoridhe; mukapu dzegoridhe dzisina mubato.”
Kana kuti “kuudzwa pekugumira.”
Kana kuti “pamuzinda waMambo.”
Kana kuti “akapfeka chishongo cheumambo.”
Kana kuti “rwemaitirwe ezvinhu.” ChiHeb., “rwenguva.”
Kana kuti “muchinda.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “kumuzinda unonzi.”
Kana kuti “Susa.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Ngomwa.”
Kana kuti “ngavakwizwe miviri.”
Anonzi Jehoyakini pana 2Mad 24:8.
Kureva kuti “Muti weMukute.”
Kana kuti “yeSusa.”
Kana kuti “kumuzinda wamambo.”
Kana kuti “akamuratidza rudo rusingachinji.”
Kana kuti “nezvekukwizwa muviri.”
Kana kuti “kukwizwa kwavo miviri.”
Kana kuti “pamwe chete nekukwizwa miviri kwevakadzi.”
Kana kuti “ngomwa yemumuzinda.”
Kana kuti “chishongo cheumambo.”
Kana kuti “vakadzi vechidiki.”
ChiHeb., “kuti vaise ruoko pana.”
Kana kuti “achimiririra Modhekai.”
ChiHeb., “kuti aise ruoko rwake pana.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndichabhadhara matarenda 10 000 kuti aiswe munochengeterwa pfuma yamambo evaya vachaita basa iri.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “mumuzinda unonzi.”
Kana kuti “Susa.”
Kana kuti “reSusa.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Ngomwa.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Ngomwa.”
Kana kuti “muSusa.”
Kana kuti “muSusa.”
Kana kuti “Kunyange kana uchida hafu yeumambo hwangu, uchapiwa.”
Kana kuti “Kunyange kana uchida hafu yeumambo hwangu, uchapiwa.”
Mamita angasvika 22,3. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “hope dzamambo dzakatiza.”
ChiHeb., “kuti vaise ruoko pana.”
Kana kuti “chemuzinda wamambo.”
ChiHeb., “achibva kumbeu yevaJudha.”
Kana kuti “Kunyange kana uchida hafu yeumambo hwangu, uchapiwa.”
Kana kuti “mweya wangu urege kuurayiwa.”
Mamita angasvika 22,3. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “nekuti akatambanudza ruoko rwake kuvaJudha.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “mumuzinda unonzi.”
Kana kuti “Susa.”
Kana kuti “reSusa.”
ChiHeb., “vakava nechiedza.”
Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “Mumuzinda unonzi.”
Kana kuti “Susa.”
Kana kuti “yeSusa.”
Kana kuti “yeSusa.”
Kana kuti “muSusa.”
Kana kuti “muSusa.”
Kana kuti “muSusa.”
Kana kuti “muSusa.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Kana kuti “muSusa.”
ChiHeb., “ngaridzokere pamusoro wake.”
“Puri” kureva kuti “Mujenya.” Shoko racho muuzhinji rinonzi Purimu uye ndiro rakazova zita remutambo wechiJudha unoitwa mumwedzi wechi12 wekarenda yaishandiswa nevaJudha panyaya dzekunamata. Ona Mashoko Ekuwedzera B15.
Kana kuti “sezvavakanga vatemera mweya yavo.”
Kana kuti “Aikudzwa chaizvo.”
ChiHeb., “achitaura nezverugare kuitira zvizvarwa zvavo zvese.”