RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Nehemiya 1:1-13:31
  • Nehemiya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nehemiya
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Nehemiya

NEHEMIYA

1 Mashoko aNehemiya*+ mwanakomana waHakariya: Mumwedzi waKisrevhi,* mugore rechi20, ini ndaiva munhare* inonzi* Shushani.*+ 2 Panguva iyoyo Hananai,+ mumwe wehama dzangu, akasvika aine vamwe varume vaibva kuJudha, ndikavabvunza nezvevaJudha vakasara, vaya vakanga vapukunyuka kubva kuutapwa,+ uyewo nezveJerusarema. 3 Vakandipindura vachiti: “Vaya vari mudunhu racho, avo vakapukunyuka kubva kuutapwa, vari kutambudzika chaizvo uye vari kushorwa.+ Masvingo eJerusarema akaputswa,+ uye magedhi aro akapiswa nemoto.”+

4 Pandakangonzwa mashoko aya, ndakagara pasi ndikatanga kuchema, ndikaita mazuva ndichichema, uye ndakaramba ndichitsanya,+ ndichinyengetera pamberi paMwari wedenga. 5 Ndakati: “Haiwa Jehovha Mwari wedenga, Mwari mukuru neanoshamisa, anochengeta sungano yake uye anoratidza rudo rusingachinji kune vaya vanomuda, vanochengeta mirayiro yake,+ 6 ndapota, nzeve yenyu ngaiteerere uye maziso enyu ngaasvinure, kuti muteerere munyengetero wemushumiri wenyu wandiri kunyengetera kwamuri nhasi, siku nesikati,+ pamusoro pevashumiri venyu, ivo vaIsraeri, ndichireururawo zvivi zvakaitwa nevaIsraeri kwamuri. Takatadza, ini neimba yababa vangu.+ 7 Chokwadi takaita zvakaipa kwamuri+ nekurega kuchengeta mirayiro, uye mirau nemitongo yamakapa mushumiri wenyu Mozisi.+

8 “Ndapota, yeukai shoko ramakarayira* mushumiri wenyu Mozisi, muchiti: ‘Kana mukaita zvisina kutendeka, ndichaita kuti mupararire pakati pemarudzi.+ 9 Asi kana mukadzoka kwandiri, mochengeta mirayiro yangu nekuiteerera, kunyange vanhu venyu vaya vakapararira kusvika kunogumira denga, ndichavaunganidza+ kubva ikoko ndovaunza kunzvimbo yandakasarudza kuti zita rangu rigare.’+ 10 Vanhu ava vashumiri venyu uye vanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru uye neruoko rwenyu rune simba.+ 11 Haiwa Jehovha, ndapota, nzeve yenyu ngaiteerere munyengetero wemushumiri wenyu nemunyengetero wevashumiri venyu vanofarira kutya zita renyu, uye ndapota, itai kuti mushumiri wenyu abudirire nhasi, uye murume uyu ngaandinzwire tsitsi.”+

Ini ndaiva mudiri wamambo.+

2 Mumwedzi waNisani,* mugore rechi20+ raMambo Atashasta,+ waini yakaiswa pamberi pake, uye ini senguva dzese ndakatora waini yacho ndikaipa mambo.+ Asi ndakanga ndisati ndambosuruvara pamberi pake. 2 Saka mambo akati kwandiri: “Nei wakasuruvara kudai iwe usiri kurwara? Panofanira kunge paine zviri kukunetsa mumwoyo.” Ndakabva ndatya chaizvo.

3 Ndakabva ndati kuna mambo: “Mambo ngaarambe achirarama! Ndingaregererei kusuruvara kana guta, iyo nzvimbo yakavigwa madzitateguru angu iri matongo, uye magedhi aro akatsva nemoto?”+ 4 Mambo akabva ati kwandiri: “Uri kukumbirei?” Ndakabva ndangonyengetera kuna Mwari wedenga.+ 5 Ndakabva ndati kuna mambo: “Kana mambo achifadzwa nazvo, uye kana manzwira muranda wenyu nyasha, nditumei kuJudha, kuguta rakavigwa madzitateguru angu, kuti ndirivakezve.”+ 6 Mambo, uyo aiva nemudzimai* wake akagara padivi pake, akabva ati kwandiri: “Rwendo rwako ruchange rwakareba sei, uye uchadzoka riini?” Saka zvakafadza mambo kuti andirege ndichienda,+ uye ndakamuudza nguva yacho.+

7 Ndakabva ndati kuna mambo: “Kana mambo achifadzwa nazvo, itai kuti ndipiwe tsamba kuitira magavhuna emunharaunda yeMhiri kweRwizi,*+ kuti ndibvumirwe kupfuura kusvikira ndasvika kuJudha, 8 uyewo tsamba inoenda kuna Asafi muchengeti wePaki yaMambo,* kuti andipe matanda emagedhi eNhare+ yeImba* uye emasvingo eguta+ neeimba yandichanogara.” Saka mambo akandipa,+ nekuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwaiva pandiri.+

9 Ndakazosvika kumagavhuna enharaunda yeMhiri kweRwizi ndikaapa tsamba dzamambo. Mambo akaitawo kuti ndiende nevakuru veuto nevatasvi vemabhiza. 10 Sanibharati+ muHoroni naTobhiya+ mukuru* wekuvaAmoni,+ pavakazvinzwa, vakagumbuka chaizvo kuti paiva nemunhu akanga auya kuzoitira vaIsraeri chinhu chakanaka.

11 Papera nguva, ndakazosvika kuJerusarema ndikagara kwemazuva matatu. 12 Ndakamuka usiku, ini nevarume vashoma vandaiva navo, asi handina wandakaudza zvakanga zvaiswa mumwoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusarema, uye hapana chipfuwo chandaiva nacho kunze kwechandakanga ndakatasva. 13 Ndakabuda usiku nepaGedhi rekuBani+ ndikapfuura nepamberi peChitubu cheNyoka Huru ndikanosvika kuGedhi reMirwi yeMadota,+ uye ndakaongorora masvingo eJerusarema ayo akanga akaputsika nemagedhi aro akanga atsva nemoto.+ 14 Ndakapfuurira ndikasvika kuGedhi reChitubu+ nekuDziva raMambo, uye pakanga pasina nzvimbo yaikwana kuti chipfuwo chandakanga ndakatasva chipfuure. 15 Asi ndakaramba ndichikwidza nebani+ usiku, uye ndakaramba ndichiongorora rusvingo, ndichibva ndazodzoka ndikapinda nepaGedhi rekuBani, ndikabva ndadzoka kwandakatangira.

16 Vatevedzeri vevatongi+ havana kuziva kwandakanga ndaenda nezvandaiita, nekuti ndakanga ndisati ndataura chinhu kuvaJudha, nevapristi, nevakuru vakuru, nevatevedzeri vevatongi, nevamwe vashandi vese. 17 Ndakazoti kwavari: “Muri kuona dambudziko guru ratiinaro, kuti Jerusarema angova matongo uye magedhi aro akapiswa. Uyai tivakezve masvingo eJerusarema, kuti parege kuramba paine kuzvidzwa kwakadai.” 18 Ndakabva ndavaudza nezveruoko rwakanaka rwaMwari wangu kuti rwaiva pandiri,+ uyewo nezvemashoko andakanga ndaudzwa namambo.+ Vakabva vati: “Ngatisimukei tivake.” Saka vakazvisimbisa* kuti vaite basa racho rakanaka.+

19 Zvino Sanibharati muHoroni, naTobhiya+ mukuru* wekuvaAmoni,+ naGeshemu muArabhiya+ pavakazvinzwa, vakatanga kutinyomba+ nekutizvidza uye vaiti: “Chii chamuri kuita? Muri kupandukira mambo nhai?”+ 20 Zvisinei, ndakavapindura ndichiti: “Mwari wedenga ndiye achaita kuti tibudirire,+ uye isu vashumiri vake, tichasimuka tovaka; asi imi hamuna mugove, kana chamunoti ndechenyu, kana chamungayeukwa nacho* muJerusarema.”+

3 Mupristi mukuru Eriyashibhi+ nehama dzake vapristi, vakasimuka kuti vavake Gedhi reMakwai.+ Vakaritsvenesa,*+ vakamisa masuo aro; vakatsvenesa kusvika kuShongwe yeMeya,+ uye kunosvika kuShongwe yaHananeri.+ 2 Uye pamberi pacho paivakwa nevarume vekuJeriko;+ pamberi pacho pachivakwa naZakuri mwanakomana waImri.

3 Vanakomana vaHasena vakavaka Gedhi reHove;+ vakarivaka nematanda+ vakabva vaisa masuo aro, nezvihuri zvaro, nemazariro aro. 4 Uye pamberi pavo paigadzirwa naMeremoti+ mwanakomana waUrija mwanakomana waHakozi, pamberi pavo pachigadzirwa naMeshuramu+ mwanakomana waBherekiya mwanakomana waMeshezabheri, uye pamberi pavowo paigadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhana. 5 Pamberi peava paigadzirwa nevaTekoa,+ asi varume vainge vakakurumbira pakati pavo havana kuda kuzvininipisa kuti vaitewo basa* ravanatenzi vavo.

6 Joyadha mwanakomana waPaseya naMeshuramu mwanakomana waBhesodheya vakagadzira Gedhi reGuta Rekare;+ vakarivaka nematanda vachibva vaisa masuo aro, nezvihuri zvaro, nemazariro aro. 7 Pamberi pavo pakagadzirwa naMeratiya muGibhiyoni+ naJadhoni muMeronoti, varume vekuGibhiyoni neMizpa+ vaiva pasi pagavhuna* wenharaunda yeMhiri kweRwizi.*+ 8 Pamberi pavo pakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHahaya, mumwe wevagadziri vemidziyo yegoridhe, uye pamberi pake pakagadzirwa naHananiya mumwe wevanogadzira mafuta ekuzora;* uye vakawaridza matombo muJerusarema kusvika kuRusvingo Rwakafara.+ 9 Pamberi pavo pakagadzirwa naRefaya mwanakomana waHeri, muchinda wehafu yedunhu reJerusarema. 10 Jedhaya mwanakomana waHarumafi ndiye akagadzira pamberi pacho pakatarisana neimba yake, uye pamberi pake pakagadzirwa naHatushi mwanakomana waHashabhineya.

11 Marikija mwanakomana waHarimu+ naHashubhu mwanakomana waPahati-moabhi+ ndivo vakagadzira chimwe chikamu,* uyewo Shongwe yeOvheni.+ 12 Pamberi pavo pakagadzirwa naSharumu mwanakomana waHaroheshi, muchinda wehafu yedunhu reJerusarema, pamwe chete nevanasikana vake.

13 Hanuni nevagari vemuZanoa+ vakagadzira Gedhi rekuBani;+ vakarivaka vachibva vaisa masuo aro, nezvihuri zvaro, nemazariro aro, uye vakagadzira makubhiti 1 000* erusvingo rwacho kusvika kuGedhi reMirwi yeMadota.+ 14 Marikija mwanakomana waRekabhi, muchinda wedunhu reBheti-hakeremu+ akagadzira Gedhi reMirwi yeMadota; akarivaka akaisa masuo aro, nezvihuri zvaro, nemazariro aro.

15 Sharuni mwanakomana waKorihoze, muchinda wedunhu reMizpa+ akagadzira Gedhi reChitubu;+ akarivaka nekuriisa denga, akaisa masuo aro, nezvihuri zvaro, nemazariro aro, uyewo akagadzira rusvingo rweDziva+ reMugero weMvura pedyo neMunda waMambo+ achinosvika kuMatanho+ anodzika kubva kuGuta raDhavhidhi.+

16 Aiteverwa naNehemiya mwanakomana waAzbhuki, muchinda wehafu yedunhu reBheti-zuri,+ uyo akagadzira kubva pamberi peNzvimbo yeMakuva yaDhavhidhi+ kunosvika kudziva+ rakanga ravakwa uye kunosvika kuImba yeVane Simba.

17 Aiteverwa nevaRevhi vaiti: Rehumu mwanakomana waBhani; pedyo naye paina Hashabhiya, muchinda wehafu yedunhu reKeira,+ uyo akavaka achimiririra dunhu rake. 18 Pamberi pake pakagadzirwa nehama dzavo: Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, muchinda wehafu yedunhu reKeira.

19 Ezeri mwanakomana waJeshua,+ muchinda weMizpa ndiye aigadzira pachikamu chaiva pamberi pacho chepakatarisana nemukwidza unoenda kuImba yeZvombo yepaChitsigiso cheRusvingo.+

20 Aiteverwa naBharuki mwanakomana waZabhai+ uyo akagadzira chimwe chikamu achishingaira, kubva paChitsigiso cheRusvingo kusvika kusuo reimba yemupristi mukuru Eriyashibhi.+

21 Aimutevera ndiMeremoti+ mwanakomana waUrija mwanakomana waHakozi uyo akagadzira chimwe chikamu, kubva pasuo reimba yaEriyashibhi kusvika kunogumira imba yaEriyashibhi.

22 Pamberi pacho pakagadzirwa nevapristi, varume vemudunhu reJodhani.*+ 23 Bhenjamini naHashubhu ndivo vakagadzira pamberi pacho pakatarisana neimba yavo. Azariya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waAnaniya ndiye akagadzira pamberi pacho pedyo neimba yake. 24 Aiteverwa naBhinui mwanakomana waHenadhadhi uyo akagadzira chimwe chikamu, kubva paimba yaAzariya kusvika kuChitsigiso cheRusvingo+ uye kunobata kukona.

25 Aiteverwa naParari mwanakomana waUzayi uyo akagadzira pakatarisana neChitsigiso cheRusvingo neshongwe inobuda paImba yaMambo,+ iya yekumusoro iri paChivanze cheVarindi.+ Aiteverwa naPedhaya mwanakomana waParoshi.+

26 Vashandi vepatemberi*+ avo vaigara muOferi+ vakagadzira kusvika pakatarisana neGedhi reMvura+ riri kumabvazuva uye kushongwe yakabudikira.

27 Vaiteverwa nevaTekoa+ avo vakagadzira chimwe chikamu, kubva pakatarisana neshongwe huru yakabudikira kusvika parusvingo rweOferi.

28 Vapristi vakagadzira pamusoro peGedhi reMabhiza,+ mumwe nemumwe pakatarisana neimba yake.

29 Vaiteverwa naZadhoki+ mwanakomana waImeri uyo akagadzira pakatarisana neimba yake.

Pamberi pacho pakagadzirwa naShemaya mwanakomana waShekaniya, muchengeti weGedhi reKumabvazuva.+

30 Aiteverwa naHananiya mwanakomana waSheremiya naHanuni mwanakomana wechi6 waZarafi avo vakagadzira chimwe chikamu.

Aiteverwa naMeshuramu+ mwanakomana waBherekiya uyo akagadzira pakatarisana neimba yake huru.

31 Aiteverwa naMarikija, mumwe weboka revaigadzira midziyo yegoridhe, uyo akagadzira kusvika kuimba yevashandi vepatemberi*+ nevatengesi, pakatarisana neGedhi Rekuongororera uye kusvika kuimba yepamusoro pekona.

32 Vagadziri vemidziyo yegoridhe nevatengesi vakagadzira chikamu chiri pakati peimba yepamusoro pekona neGedhi reMakwai.+

4 Sanibharati+ paakangonzwa kuti takanga tichivakazve rusvingo, akatsamwa, akagumbuka chaizvo, uye akaramba achinyomba vaJudha. 2 Akataura pamberi pehama dzake neuto reSamariya kuti: “VaJudha ava vasina simba vari kuitei? Vachazvikwanisa vari vega here? Vachapa zvibayiro here? Vachapedza nezuva rimwe chete here? Vachaita kuti matombo akatsva ari mumirwi yemarara ashandisike here?”+

3 Tobhiya+ muAmoni+ uyo aiva akamira pedyo naye, akati: “Kunyange kana gavawo zvaro rikakwira pane zvavari kuvaka, rinoputsa rusvingo rwavo rwematombo.”

4 Inzwai, haiwa Mwari wedu, nekuti tiri kuzvidzwa,+ uye dzorerai kuzvidza kwavo pamisoro yavo,+ uye itai kuti vapambwe vaendeswe munyika yeutapwa. 5 Musafukidza kukanganisa kwavo kana kudzima chivi chavo pamberi penyu+ nekuti vakatuka vavaki.

6 Saka takaramba tichivakazve rusvingo, uye rusvingo rwacho rwese rwakabatana uye rwakavakwa kusvika pahafu yekukwirira kwarwo, uye vanhu vakaramba vakaisa mwoyo yavo pabasa racho.

7 Sanibharati, Tobhiya,+ vaArabhiya,+ vaAmoni, nevaAshdhodhi+ pavakangonzwa kuti masvingo eJerusarema ari kuenderera mberi nekugadzirwa uye kuti pakaputsika pakanga pachivharwa, vakatsamwa chaizvo. 8 Vakarangana kuti vauye kuzorwisa Jerusarema uye kuti vanyonganise zvinhu mariri. 9 Asi takanyengetera kuna Mwari wedu tikaramba takaisa varindi kuti vatidzivirire masikati neusiku.

10 Zvisinei, vanhu veJudha vaiti: “Vashandi* vaneta, uye pane murwi wematombo akawanda chaizvo; tichatadza zvachose kuvaka rusvingo.”

11 Uye vavengi vedu vakaramba vachiti: “Tichapinda pakati pavo chaipo vasingazvizivi uye vasingationi, uye tichavauraya tomisa basa racho.”

12 Pese paiuya vaJudha vaigara pedyo navo, vairamba vachingotiudza* kuti: “Vachauya kwatiri vachibva kumativi ese.”

13 Saka ndakaramba ndakaisa vanhu munzvimbo dzakanyanya kudzikira museri merusvingo, munzvimbo dzisina chinhu, uye ndakavaisa maererano nemhuri dzavo vaine mapakatwa avo, mapfumo avo, neuta hwavo. 14 Pandakaona kuti vaitya, ndakabva ndangosimuka ndikati kuvakuru vakuru+ nevatevedzeri vevatongi nevamwe vanhu vese: “Musavatya.+ Yeukai Jehovha, iye mukuru uye anoshamisa;+ uye rwirai hama dzenyu, vanakomana venyu nevanasikana venyu, madzimai enyu nemisha yenyu.”

15 Pashure pekunge vavengi vedu vanzwa kuti takanga tava kuziva zvavaiita uye kuti Mwari wechokwadi akanga avhiringidza zvavaironga, tese takadzokera kunoita basa parusvingo. 16 Kubva pazuva iroro, hafu yevarume vangu ndiyo yaiita basa+ imwe hafu yavo yakabata mapfumo, nhoo, uta, nenguo dzesimbi. Uye machinda+ aimira kumashure kweimba yese yaJudha 17 yaivaka rusvingo. Vaya vaitakura zvinorema vaiita basa racho neruoko rumwe chete, rumwe rwacho rwakabata chombo.* 18 Muvaki mumwe nemumwe aiva nebakatwa rake muhudyu, uku achivaka, uye munhu aifanira kuzoridza hwamanda+ aiva akamira pedyo neni.

19 Ndakabva ndati kuvakuru vakuru nevatevedzeri vevatongi nevamwe vanhu vese: “Basa iguru uye pari kuda kushandwa pakakura, uye isu takatarangana parusvingo, tiri kure nekure. 20 Pamunonzwa kurira kwehwamanda, unganai kwatiri. Mwari wedu achatirwira.”+

21 Saka takaramba tichishanda, imwe hafu yakabata mapfumo, kubva pakutsvuka kweutonga kusvika nyeredzi dzabuda. 22 Panguva iyoyo ndakati kuvanhu: “Varume ngavave muJerusarema usiku, mumwe nemumwe nemushandi wake, uye vachatirinda usiku voshanda masikati.” 23 Saka ini nehama dzangu, vashandi vangu,+ nevarindi vainditevera, hatina kumbobvisa nguo dzedu, uye mumwe nemumwe wedu akaramba aine chombo chake muruoko rwake rwerudyi.

5 Zvisinei, varume nemadzimai avo vakachema chaizvo vachinyunyutira hama dzavo dzechiJudha.+ 2 Vamwe vaiti: “Isu nevanakomana vedu nevanasikana vedu takawanda. Tinofanira kuwana zviyo* kuti tidye tirarame.” 3 Vamwewo vaiti: “Tiri kupa minda yedu yembesa neminda yedu yemizambiringa nedzimba dzedu kuti zvimbobatwa kuti tiwane zviyo munguva ino yenzara.” 4 Paivawo nevamwe vaiti: “Takakwereta mari tichiita zvekubatisa minda yedu yembesa neminda yedu yemizambiringa kuti tibhadhare mutero kuna mambo.+ 5 Tiri nyama imwe neropa rimwe nehama dzedu,* vana vavo nevana vedu vamwe chete asi tava kufanira kuisa vanakomana vedu nevanasikana vedu muuranda, uye vamwe vanasikana vedu vatova varanda.+ Asi hatina simba rekumisa zvinhu izvi, nekuti minda yedu yembesa neminda yedu yemizambiringa yava yevamwe.”

6 Pandakangonzwa kuchema kwavo nemashoko aya ndakatsamwa chaizvo. 7 Saka ndakafunga zvinhu izvi mumwoyo mangu, ndikapikisana nevakuru vakuru nevatevedzeri vevatongi, ndikati kwavari: “Mumwe nemumwe wenyu ari kubhadharisa hama yake chimbadzo.”+

Ndakarongawo kuti pave negungano guru nemhaka yezvavaiita. 8 Uye ndakati kwavari: “Takaita zvese zvataigona tikadzikinura hama dzedu dzechiJudha dzakanga dzatengeswa kune mamwe marudzi; asi iye zvino mungatengesa hama dzenyu+ here, uye dzinofanira kutengeswa zvakare kwatiri here?” Vakanyarara, vakashaya zvekutaura. 9 Ndakabva ndati: “Zvamuri kuita hazvina kunaka. Hamufaniri here kufamba muchitya Mwari wedu+ kuti marudzi, ivo vavengi vedu, varege kutishora? 10 Iniwo nehama dzangu nevashandi vangu, tiri kuvakweretesa mari nezviyo. Ndapota ngatiregei kukweretesa uku kwatiri kuita tichiwana mubereko.+ 11 Ndapota, vadzorerei nhasi chaiye minda yavo yembesa,+ yemizambiringa, neyemiorivhi, nedzimba dzavo, nechikamu chimwe chete muzana* chemari, chezviyo, chewaini itsva, nechemafuta, chamuri kutora kwavari semubereko.”

12 Ivo vakabva vati: “Tichavadzorera zvinhu izvi tisingavabhadharisi. Tichaita zvamataura chaizvo.” Saka ndakashevedza vapristi ndikaita kuti varume ivavo vapike kuti vachazadzisa vimbiso iyi. 13 Uyewo, ndakazunza homwe yepachipfuva yenguo yangu,* ndikati: “Sezvandaita izvi, munhu wese asingazadzisi vimbiso iyi ngaazunzwe abviswe mumba make uye papfuma yake naMwari wechokwadi; ngaazunzwe saizvozvi, asare asina chinhu.” Ungano yese yakabva yati: “Ameni!”* Vakarumbidza Jehovha, uye vanhu vakaita zvavakavimbisa.

14 Uyewo, kubva pazuva raakandiita gavhuna wavo+ munyika yeJudha, kubva mugore rechi20+ kusvika mugore rechi32+ raMambo Atashasta,+ makore 12, ini nehama dzangu hatina kudya zvekudya zvaifanira kupiwa gavhuna.+ 15 Asi magavhuna akanga anditangira akanga aremedza vanhu uye aitora kwavari mashekeri* 40 esirivha echingwa newaini zuva nezuva. Uyewo, vashandi vavo vaidzvinyirira vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo+ nekuti ndaitya Mwari.+

16 Ndakashandawo pabasa rerusvingo urwu, uye hatina kana munda mumwe chete watakatsvaga;+ uye vashandi vangu vese vakanga vakaungana ipapo kuti vaite basa racho. 17 Paiva nevaJudha nevatevedzeri vevatongi vaidya patafura yangu vari 150, pamwe chete nevaya vakauya kwatiri vachibva kune mamwe marudzi. 18 Zuva rega rega ndaigadzirirwa mombe imwe chete, makwai 6 akanaka, neshiri, zvichitorwa papfuma yangu uye kamwe chete pamazuva gumi ega ega taiwana waini yakawanda yakasiyana-siyana. Pasinei nezvese izvi, handina kurayira kuti ndipiwe zvekudya zvaifanira kupiwa gavhuna, nekuti vanhu vaitoremerwa nebasa ravo nechekare. 19 Mwari wangu, ndiyeukeiwo mundikomborere* nekuda kwezvese zvandakaitira vanhu ava.+

6 Sanibharati, Tobhiya,+ Geshemu muArabhiya,+ nevamwe vavengi vedu vese pavakangoudzwa kuti ndakanga ndavakazve rusvingo+ uye kuti pakanga pasisina pakaputsika (kunyange zvazvo kusvikira panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa masuo pamagedhi),+ 2 Sanibharati naGeshemu vakabva vanditumira shoko vachiti: “Ngatironge nguva yekuti tionane mumisha iri muBani reOno.”+ Asi ivo vaironga kundikuvadza. 3 Saka ndakatuma nhume kwavari, ndichiti: “Basa randiri kuita iguru, uye handikwanisi kudzika ikoko. Ndingasiya basa richimira ndichiuya ikoko here?” 4 Vakanditumira shoko rimwe chetero kanokwana kana, asi ndaingovapa mhinduro imwe chete.

5 Sanibharati akazotuma mushandi wake kwandiri neshoko rimwe chete iroro kechishanu, aine tsamba yakavhurika muruoko rwake. 6 Yakanga yakanyorwa kuti: “Marudzi akanzwa nezvazvo, uye Geshemu+ ari kuzvitaurawo, kuti iwe nevaJudha muri kuronga kupanduka.+ Ndokusaka uri kuvaka rusvingo; uye zviri kunzi uchava mambo wavo. 7 Wakatogadzawo vaprofita kuti vazivise nezvako muJerusarema rese, vachiti, ‘MuJudha muna mambo!’ Mambo achaudzwa zvinhu izvi. Saka huya titaure nezvenyaya iyi.”

8 Zvisinei, ndakamutumira mhinduro iyi: “Zvinhu zvauri kutaura hazvina kumboitika; uri kungotaurawo zvauri kuruka mumusoro mako.”* 9 Nekuti vese vaiedza kutityisidzira, vachiti: “Maoko avo achaneta pabasa racho, uye harizoitwi.”+ Saka ndinonyengetera kuti musimbise maoko angu.+

10 Ndakabva ndaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya mwanakomana waMehetabheri uyo akanga akazvivharira ikoko. Iye akati: “Ngatirongei nguva yekusangana paimba yaMwari wechokwadi, mutemberi, tovhara masuo etemberi, nekuti vari kuuya kuzokuuraya. Vari kuuya kuzokuuraya usiku.” 11 Asi ndakati: “Munhu akaita seni angatiza here? Munhu akaita seni angapinda mutemberi akararama here?+ Handisi kuzopinda!” 12 Ndakabva ndaziva kuti akanga asina kutumwa naMwari, asi kuti Tobhiya naSanibharati+ ndivo vakanga vamutenga kuti ataure uprofita uhwu kwandiri. 13 Akanga atengwa kuti andityisidzire uye kuti aite kuti nditadze, vobva vawana zvikonzero zvekusvibisa zita rangu, ndozvidzwa.

14 Haiwa Mwari wangu, yeukai Tobhiya+ naSanibharati uye zvinhu izvi, naNoadhiya muprofitakadzi nevamwe vaprofita vese vairamba vachiedza kundityisidzira.

15 Saka rusvingo rwakapera pazuva rechi25 raEruri,* mumazuva 52.

16 Vavengi vedu vese pavakangozvinzwa uye mamwe marudzi ese akanga akatipoteredza paakazviona, vakanyara chaizvo,+ uye vakaziva kuti basa iri rakanga raitwa nerubatsiro rwaMwari wedu. 17 Mazuva iwayo vakuru vakuru+ veJudha vaitumira tsamba dzakawanda kuna Tobhiya, uye Tobhiya aivapindura. 18 Vanhu vakawanda vemuJudha vakatsidza kuti vaizomutsigira, nekuti aiva mukuwasha waShekaniya mwanakomana waAraa,+ uye mwanakomana wake Jehohanani akanga aroora mwanasikana waMeshuramu+ mwanakomana waBherekiya. 19 Uyewo, vairamba vachindiudza zvinhu zvakanaka nezvake, vobva vaenda kunomuudza zvandaitaura. Tobhiya aibva atumira tsamba dzekundityisidzira.+

7 Rusvingo parwakanga rwangovakwazve,+ ndakamisa masuo acho;+ uye varindi vepamagedhi,+ vaimbi,+ nevaRevhi+ vakabva vagadzwa. 2 Ndakabva ndaita kuti hama yangu Hananai+ itungamirire Jerusarema, pamwe chete naHananiya mukuru weNhare,+ nekuti aivimbwa naye kupfuura vamwe vese uye aitya Mwari wechokwadi+ kupfuura vamwe vakawanda. 3 Saka ndakati kwavari: “Magedhi eJerusarema ngaarege kuvhurwa kusvikira zuva rava kupisa, uye pavanenge vakamira vachirinda, ngavavhare masuo acho voakiya. Uye ipai vagari vemuJerusarema basa rekurinda, mumwe nemumwe panzvimbo yake yekurinda uye mumwe nemumwe pakatarisana neimba yake.” 4 Guta racho rakanga rakafara riri guru, uye mukati maro maiva nevanhu vashoma,+ dzimba dzisati dzavakwazve.

5 Asi Mwari wangu akazviisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru vakuru nevatevedzeri vevatongi nevanhu vacho kuti vanyorwe maererano nemadzinza avo.+ Ndakabva ndawana bhuku rakanyorwa madzinza evaya vakatanga kuuya, ndikawana makanyorwa kuti:

6 Ava ndivo vaiva vanhu vemudunhu racho vakabva kuutapwa, avo vakanga vatapwa+ naMambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi vachibva vazodzoka kuJerusarema neJudha, mumwe nemumwe kuguta rake,+ 7 vaya vakauya naZerubhabheri,+ Jeshua,+ Nehemiya, Azariya, Raamiya, Nahamani, Modhekai, Bhirishani, Mispereti, Bhigvhai, Nehumi, naBhaana.

Uhwu ndihwo uwandu hwevarume veIsraeri:+ 8 vanakomana vaParoshi, 2 172; 9 vanakomana vaShefatiya, 372; 10 vanakomana vaAraa,+ 652; 11 vanakomana vaPahati-moabhi,+ vekuvanakomana vaJeshua naJoabhi,+ 2 818; 12 vanakomana vaEramu,+ 1 254; 13 vanakomana vaZatu, 845; 14 vanakomana vaZakai, 760; 15 vanakomana vaBhinui, 648; 16 vanakomana vaBhebhai, 628; 17 vanakomana vaAzgadhi, 2 322; 18 vanakomana vaAdhonikamu, 667; 19 vanakomana vaBhigvhai, 2 067; 20 vanakomana vaAdhini, 655; 21 vanakomana vaAteri, wekwaHezekiya, 98; 22 vanakomana vaHashumu, 328; 23 vanakomana vaBhezai, 324; 24 vanakomana vaHarifi, 112; 25 vanakomana vekuGibhiyoni,+ 95; 26 varume vekuBhetrehema neNetofa, 188; 27 varume vekuAnatoti,+ 128; 28 varume vekuBheti-azmavheti, 42; 29 varume vekuKiriyati-jearimu,+ Kefira, neBheeroti,+ 743; 30 varume vekuRama neGebha,+ 621; 31 varume vekuMikmasi,+ 122; 32 varume vekuBheteri+ neAi,+ 123; 33 varume vekune imwe Nebho, 52; 34 vanakomana vemumwe Eramu, 1 254; 35 vanakomana vaHarimu, 320; 36 vanakomana vekuJeriko, 345; 37 vanakomana vekuRodhi, Hadhidhi, neOno,+ 721; 38 vanakomana vekuSenaa, 3 930.

39 Vapristi vaiva:+ vanakomana vaJedhaya veimba yaJeshua, 973; 40 vanakomana vaImeri, 1 052; 41 vanakomana vaPashuri,+ 1 247; 42 vanakomana vaHarimu,+ 1 017.

43 VaRevhi vaiva:+ vanakomana vaJeshua, wekwaKadmieri,+ wekuvanakomana vaHodhevha, 74. 44 Vaimbi vaiva:+ vanakomana vaAsafi,+ 148. 45 Varindi vepamagedhi vaiva:+ vanakomana vaSharumu, vanakomana vaAteri, vanakomana vaTarimoni, vanakomana vaAkubhu,+ vanakomana vaHatita, vanakomana vaShobhai, 138.

46 Vashandi vepatemberi* vaiva:+ vanakomana vaZiha, vanakomana vaHasufa, vanakomana vaTabhaoti, 47 vanakomana vaKerosi, vanakomana vaSia, vanakomana vaPadhoni, 48 vanakomana vaRebhana, vanakomana vaHagabha, vanakomana vaSarimai, 49 vanakomana vaHanani, vanakomana vaGidheri, vanakomana vaGahari, 50 vanakomana vaReaya, vanakomana vaRezini, vanakomana vaNekodha, 51 vanakomana vaGazamu, vanakomana vaAza, vanakomana vaPaseya, 52 vanakomana vaBhesai, vanakomana vaMeunimu, vanakomana vaNefushesimu, 53 vanakomana vaBhakbhuki, vanakomana vaHakufa, vanakomana vaHahuri, 54 vanakomana vaBhazriti, vanakomana vaMehidha, vanakomana vaHasha, 55 vanakomana vaBhakosi, vanakomana vaSisera, vanakomana vaTema, 56 vanakomana vaNeziya, vanakomana vaHatifa.

57 Vanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva:+ vanakomana vaSotai, vanakomana vaSofereti, vanakomana vaPeridha, 58 vanakomana vaJaara, vanakomana vaDhakoni, vanakomana vaGidheri, 59 vanakomana vaShefatiya, vanakomana vaHatiri, vanakomana vaPokereti-hazebhaimu, vanakomana vaAmone. 60 Vashandi vepatemberi*+ vese nevanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva 392.

61 Ava ndivo vakabva kuTeri-mera, Teri-hasha, Kerubhi, Adhoni, neImeri, asi vakatadza kuratidza kuti imba yemadzibaba avo ndeipi kana kwavakabva nako, kuti vaiva vaIsraeri here:+ 62 vanakomana vaDheraya, vanakomana vaTobhiya, vanakomana vaNekodha, 642. 63 Uye kuvapristi: vanakomana vaHabhaya, vanakomana vaHakozi,+ vanakomana vaBhazirai, uyo akatora mudzimai pavanasikana vaBhazirai+ muGiriyedhi, akashevedzwa nezita remhuri yacho. 64 Ava vakatsvaga zvinyorwa zvavo kuti varatidze kuti dzinza ravo nderipi, asi hazvina kuwanika, saka vakanzi havana kukodzera kuva vapristi.*+ 65 Saka gavhuna*+ akavaudza kuti vasadya zvinhu zvitsvenetsvene+ kusvikira pava nemupristi anobvunza Urimu neTumimu.+

66 Ungano yacho yese yaiva nevanhu 42 360,+ 67 tisingabatanidzi varandarume vavo nevarandasikana vavo,+ avo vaiva 7 337; uye vaivawo nevaimbi 245 vechirume nevechikadzi.+ 68 Mabhiza avo aiva 736, manyurusi avo aiva 245, 69 ngamera dzavo dzaiva 435, madhongi avo ari 6 720.

70 Vamwe vakuru vedzimba dzemadzibaba vakapa mupiro wekutsigira basa racho.+ Gavhuna* akapa madrakema* 1 000 egoridhe, ndiro 50, nenguo dzevapristi 530 kuti zviiswe munochengeterwa pfuma.+ 71 Uye vamwe vakuru vedzimba dzemadzibaba vakapa madrakema 20 000 egoridhe nemamaina* 2 200 esirivha kuti zviiswe munochengeterwa pfuma yekushandisa pabasa racho. 72 Vamwe vanhu vese vakapa madrakema 20 000 egoridhe nemamaina 2 000 esirivha nenguo 67 dzevapristi.

73 Vapristi, vaRevhi, varindi vepamagedhi, vaimbi,+ nevamwe vanhu, vashandi vepatemberi, nevamwe vaIsraeri vese* vakagara mumaguta avo.+ Pakasvika mwedzi wechi7,+ vaIsraeri vakanga vava mumaguta avo.+

8 Vanhu vese vakabatana, vakaungana munzvimbo yaiungana vanhu yaiva pamberi peGedhi reMvura,+ uye vakaudza Ezra+ uyo aiva munyori* kuti auye nebhuku reMutemo waMozisi,+ wakanga warayirwa vaIsraeri naJehovha.+ 2 Saka pazuva rekutanga remwedzi wechi7,+ mupristi Ezra akauya neMutemo wacho pamberi peungano+ yevarume, vakadzi, nevese vaigona kuteerera vachinzwisisa. 3 Akauverenga zvinonzwika+ ari pamberi penzvimbo yaiungana vanhu yaiva pakatarisana neGedhi reMvura, kubva pakutsvuka kweutonga kusvika masikati, achiverengera varume, vakadzi nevese vaigona kunzwisisa; uye vanhu vakanyatsoteerera+ bhuku reMutemo. 4 Munyori Ezra aiva akamira panzvimbo yakakwirira yematanda yakanga yagadzirwa kuti ishandiswe ipapo; uye Matitiya, Shema, Anaya, Uriya, Hirikiya, naMaaseya vakanga vakamira pedyo naye kurudyi rwake, kuruboshwe rwake kuina Pedhaya, Mishaeri, Marikija,+ Hashumu, Hashi-bhadhana, Zekariya, naMeshuramu.

5 Ezra akavhura bhuku racho vanhu vese vachiona, nekuti aiva pakakwirira kupfuura vanhu vese. Panguva yaairivhura, vanhu vese vakasimuka. 6 Ezra akabva arumbidza Jehovha Mwari wechokwadi, Mukuru, vanhu vese vachibva vapindura kuti, “Ameni!* Ameni!”+ uye vakasimudza maoko avo. Vakabva vapfugama, vakadzikisa misoro yavo pamberi paJehovha. 7 Uye vaRevhi vanoti, Jeshua, Bhani, Sherebhiya,+ Jamini, Akubhu, Shabhetai, Hodhiya, Maaseya, Kerita, Azariya, Jozabhadhi,+ Hanani, naPeraya, vaitsanangurira vanhu Mutemo,+ vanhu vakangomira. 8 Vakaramba vachiverenga bhuku racho nenzwi riri pamusoro, kubva muMutemo waMwari wechokwadi, vachiutsanangura zvakajeka, vachiududzira; saka vakabatsira vanhu kunzwisisa zvaiverengwa zvacho.+

9 Nehemiya, uyo aiva gavhuna* panguva iyoyo, nemupristi Ezra+ uyo aiva munyori, nevaRevhi avo vainge vachidzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vese: “Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu.+ Musachema kana kusvimha misodzi.” Nekuti vanhu vese vakanga vachichema pavainzwa mashoko eMutemo. 10 Akati kwavari: “Endai mudye zvinhu zvakanakisisa,* munwe zvinhu zvinotapira, mutumire zvekudya+ kune vaya vasina zvavakagadzira; nekuti zuva rino idzvene kunaShe wedu, uye musasuruvara, nekuti mufaro waJehovha ndiyo nhare yenyu.”* 11 Uye vaRevhi vainyaradza vanhu vese, vachiti: “Nyararai! nekuti zuva rino idzvene, uye musasuruvara.” 12 Saka vanhu vese vakaenda kunodya nekunwa nekutumira zvekudya uye kunofara chaizvo,+ nekuti vakanzwisisa mashoko avakanga vaudzwa.+

13 Pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzemadzibaba evanhu vese uye vapristi nevaRevhi, vakaunganira munyori Ezra kuti vawedzere kunzwisisa mashoko eMutemo wacho. 14 Vakabva vaona kuti muMutemo wainge warayirwa naJehovha achishandisa Mozisi mainge makanyorwa kuti vaIsraeri vaifanira kugara mumatumba panguva yemutambo mumwedzi wechi7,+ 15 uye kuti vaifanira kuzivisa+ uye kuudza vanhu mumaguta avo ese nemuJerusarema rese, vachiti: “Endai kumakomo muuye nemapazi ane mashizha akawanda emiti yemiorivhi, emipaini, emikute neemichindwe nemapazi ane mashizha akawanda emimwe miti kuti mugadzire matumba, maererano nezvakanyorwa.”

16 Saka vanhu vakabuda, vakauya nawo, kuti vagadzire matumba avo, mumwe nemumwe padenga reimba yake, nepazvivanze zvavo, nepazvivanze zveimba yaMwari wechokwadi,+ nepanzvimbo yaiungana vanhu yepaGedhi reMvura,+ nepanzvimbo yaiungana vanhu yepaGedhi raEfremu.+ 17 Saka vanhu vese veungano vakanga vadzoka kubva kuutapwa, vakagadzira matumba uye vakagara mumatumba acho, nekuti vaIsraeri vakanga vasina kuita saizvozvo kubvira pamazuva aJoshua+ mwanakomana waNuni kusvika pazuva iroro, zvekuti pakava nemufaro mukuru.+ 18 Uye bhuku reMutemo waMwari wechokwadi raiverengwa zvinonzwika zuva nezuva,+ kubva pazuva rekutanga kusvika pazuva rekupedzisira. Uye vakaita mutambo wacho kwemazuva 7, uye pazuva rechi8 pakava negungano dzvene, sezvaifanira kuitwa.+

9 Pazuva rechi24 remwedzi uyu, vaIsraeri vakaungana; uye vaitsanya vakapfeka masaga, vaine guruva.+ 2 Vaya vaiva zvizvarwa zvaIsraeri vakabva vazviparadzanisa nevanhu vese vekune dzimwe nyika,+ uye vakamira vakareurura zvivi zvavo nekukanganisa kwemadzibaba avo.+ 3 Vakabva vamira munzvimbo yavo, vakaverenga bhuku reMutemo+ waJehovha Mwari wavo zvinonzwika kwechikamu chimwe chete pazvina chezuva racho;* uye vakakotamira Jehovha Mwari wavo vachireurura kwechimwe chikamu pazvina chezuva racho.

4 Jeshua, Bhani, Kadmieri, Shebhaniya, Bhuni, Sherebhiya,+ Bhani, naKenanai vakamira panzvimbo yakakwirira+ yevaRevhi, vakashevedzera nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo. 5 Uye vaRevhi vanoti, Jeshua naKadmieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhiya, Hodhiya, Shebhaniya naPetahiya vakati: “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu nariini nariini.*+ Ngavarumbidze zita renyu rinokudzwa, iro rinokudzwa uye rinorumbidzwa zvekuti hapana munhu angarikudza kana kurirumbidza zvakakwana.

6 “Imi mega ndimi Jehovha;+ ndimi makasika matenga, iwo matenga ekumatenga, neuto rawo rese, nyika nezvese zviri mairi, makungwa nezvese zviri maari. Uye munozvichengeta zvese zviri zvipenyu, uye uto rekudenga riri kukukotamirai. 7 Ndimi Jehovha Mwari wechokwadi, makasarudza Abramu,+ mukamubudisa muUri+ yevaKadheya, mukamupa zita rekuti Abrahamu.+ 8 Makaona kuti mwoyo wake wakatendeka pamberi penyu,+ saka makaita sungano naye kuti mumupe nyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaJebhusi, nevaGigashi, kuti muipe vana* vake;+ uye makaita zvamakavimbisa, nekuti makarurama.

9 “Saka makaona kutambudzika kwemadzitateguru edu muIjipiti,+ uye makanzwa kuchema kwawo paGungwa Dzvuku. 10 Makabva maitira Farao nevashandi vake vese nevanhu vese vemunyika yake zviratidzo nezvishamiso,+ nekuti maiziva kuti vaizvikudza+ pamberi pavo. Makaita kuti zita renyu rive nemukurumbira uchiripo nanhasi.+ 11 Makakamura gungwa pamberi pavo, zvekuti vakayambuka gungwa nepakaoma,+ uye makakanda vaivatevera munzvimbo dzakadzika, sedombo rakandwa mumvura isina kugadzikana.+ 12 Makavatungamirira neshongwe yegore masikati, uye neshongwe yemoto usiku, kuti muvavhenekere nzira yavaifanira kufamba nayo.+ 13 Makaburuka mukauya muGomo reSinai+ mukataura navo muri kudenga,+ mukavapa mitongo yakarurama, mitemo yechokwadi,* mirau yakanaka nemirayiro.+ 14 Makaita kuti vazive Sabata renyu dzvene,+ uye makavapa mirayiro, mirau, nemutemo muchishandisa muranda wenyu Mozisi. 15 Makavapa chingwa chakabva kudenga pavaiva nenzara,+ mukabudisa mvura padombo pavaiva nenyota,+ uye makavaudza kuti vapinde vatore nyika yamakanga mapika kuti* muchavapa.

16 “Asi ivo, madzitateguru edu, vakazvikudza,+ vakatanga kuomesa misoro,*+ uye vairamba kuteerera mirayiro yenyu. 17 Vakaramba kuteerera,+ uye havana kuyeuka mabasa enyu anoshamisa amakaita pakati pavo, asi vakatanga kuomesa misoro,* vakagadza mutungamiriri kuti vadzokere kuuranda hwavo muIjipiti.+ Asi imi muri Mwari akagadzirira kukanganwira,* ane tsitsi* nengoni, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji,+ uye hamuna kuvasiya.+ 18 Kunyange pavakazvigadzirira mufananidzo wemhuru, wesimbi* vachiti, ‘Uyu ndiye Mwari wako akakubudisa muIjipiti,’+ uye vakaita mabasa makuru ekusaremekedza, 19 kunyange panguva iyoyo, imi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvasiya murenje.+ Shongwe yegore haina kubva pamusoro pavo masikati kuti ivatungamirire munzira, uyewo shongwe yemoto haina kubva pamusoro pavo usiku kuti ivavhenekere nzira yavaifanira kufamba nayo.+ 20 Makavapa mweya wenyu wakanaka kuti muvape njere,+ hamuna kunyima miromo yavo mana yenyu,+ uye makavapa mvura pavaiva nenyota.+ 21 Kwemakore 40 makavapa zvekudya murenje.+ Hapana chavaishaya. Nguo dzavo hadzina kusakara,+ uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba.

22 “Makavapa umambo nemarudzi, muchivapa umambo pashure peumambo,+ zvekuti vakatora nyika yaSihoni,+ kureva nyika yamambo weHeshbhoni,+ nenyika yaOgi+ mambo weBhashani. 23 Makaita kuti vanakomana vavo vawande senyeredzi dzedenga.+ Uye makabva mavaunza munyika yamakanga mavimbisa madzitateguru avo kuti vachapinda voitora.+ 24 Saka vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika yacho,+ uye makakunda vaKenani pamberi pavo,+ avo vaigara munyika yacho mukavaisa mumaoko avo, iwo madzimambo avo nemarudzi emunyika yacho, kuti vaite zvavanoda navo. 25 Vakatora maguta akakomberedzwa nemasvingo,+ nyika yakaorera,+ dzimba dzakazara nezvinhu zvakanaka zvakasiyana-siyana, migodhi yemvura yakatocherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi,+ nemiti yakawanda yemichero. Saka vakadya, vakaguta, vakakora, uye vaifara chaizvo nekuda kwekunaka kwenyu kukuru.

26 “Asi vakarega kuteerera, vakakupandukirai+ vakapira Mutemo wenyu makotsi.* Vakauraya vaprofita venyu, avo vakavatsiura kuti vavadzose kwamuri, uye vakaita mabasa makuru ekusaremekedza.+ 27 Nemhaka yeizvi, makavaisa muruoko rwevavengi vavo,+ avo vakaramba vachivatambudza.+ Asi munguva yekutambudzika kwavo vaichema kwamuri, uye imi maivanzwa muri kudenga; uye nekuda kwetsitsi dzenyu huru maivapa vaponesi vaivanunura paruoko rwevavengi vavo.+

28 “Asi pavainge vangozorora, vaibva vaitazve zvakaipa pamberi penyu,+ uye maivasiya muruoko rwevavengi vavo, avo vaivadzvinyirira.+ Vaibva vadzoka, voshevedzera kwamuri kuti vabatsirwe,+ uye maivanzwa muri kudenga movanunura mavanunurazve nekuda kwetsitsi dzenyu huru.+ 29 Kunyange zvazvo maivatsiura kuti muvadzose kuMutemo wenyu, ivo vaizvikudza vachiramba kuteerera mirayiro yenyu;+ uye vakatadza vachityora mirau yenyu, iyo inoita kuti munhu ararame kana akaichengeta.+ Ivo vakafuratira vachiomesa misoro, uye vakaomesa mitsipa vakaramba kuteerera. 30 Makavaitira mwoyo murefu+ kwemakore mazhinji uye makaramba muchivatsiura nemweya wenyu muchishandisa vaprofita venyu, asi vakaramba kuteerera. Makazovaisa muruoko rwemarudzi enyika dzacho.+ 31 Asi nengoni dzenyu huru hamuna kuvaparadza+ kana kuvasiya, nekuti muri Mwari ane tsitsi* nengoni.+

32 “Zvino imi Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba uye anoshamisa, uyo akachengeta sungano yake uye akaratidza rudo rusingachinji,+ musatora kutambudzika kwese kwakatiwira sekudiki, isu nemadzimambo edu, machinda edu,+ vapristi vedu,+ vaprofita vedu,+ madzitateguru edu, nevanhu venyu vese kubvira pamazuva emadzimambo eAsiriya+ kusvikira nhasi. 33 Makarurama pane zvese zvakauya patiri, nekuti makaratidza kutendeka; asi isu ndisu takaita zvakaipa.+ 34 Kana ari madzimambo edu, machinda edu, vapristi vedu, nemadzitateguru edu, havana kuchengeta Mutemo wenyu, kana kuteerera mirayiro yenyu kana zviyeuchidzo zvenyu zvamakavayambira nazvo. 35 Kunyange pavaiva muumambo hwavo vachifara chaizvo nezvinhu zvakanaka zvamakavapa, munyika yakafara yakaorera yamakavapa, havana kukushumirai+ uye havana kutendeuka pamabasa avo akaipa. 36 Saka nhasi tiri pano, tiri varanda,+ chokwadi varanda munyika yamakapa madzitateguru edu kuti vadye zvibereko zvayo nezvinhu zvayo zvakanaka. 37 Zvibereko zvayo zvakawanda ndezvemadzimambo amakaisa pamusoro pedu nemhaka yezvivi zvedu.+ Ari kutonga miviri yedu nezvipfuwo zvedu, achiita zvaanoda, uye tiri kutambudzika zvikuru.

38 “Saka nemhaka yeizvi zvese, tiri kuita chibvumirano+ tichiita zvekuchinyora, uye chakasimbiswa nechidhindo chemachinda edu, vaRevhi vedu, nevapristi vedu.”+

10 Vaya vakachisimbisa kuburikidza nekuisa chidhindo chavo pachiri+ vaiva:

Gavhuna* Nehemiya, mwanakomana waHakariya,

NaZedhekiya, 2 Seraya, Azariya, Jeremiya, 3 Pashuri, Amariya, Marikija, 4 Hatushi, Shebhaniya, Maruki, 5 Harimu,+ Meremoti, Obhadhiya, 6 Dhanieri,+ Ginetoni, Bharuki, 7 Meshuramu, Abhija, Mijamini, 8 Maaziya, Bhirigai, naShemaya; ava ndivo vapristi.

9 Uyewo pavaRevhi: Jeshua mwanakomana waAzaniya, Bhinui wekuvanakomana vaHenadhadhi, Kadmieri,+ 10 nehama dzavo Shebhaniya, Hodhiya, Kerita, Peraya, Hanani, 11 Maika, Rehobhu, Hashabhiya, 12 Zakuri, Sherebhiya,+ Shebhaniya, 13 Hodhiya, Bhani, naBheninu.

14 Pavakuru vevanhu: Paroshi, Pahati-moabhi,+ Eramu, Zatu, Bhani, 15 Bhuni, Azgadhi, Bhebhai, 16 Adhonija, Bhigvhai, Adhini, 17 Ateri, Hezekiya, Azuri, 18 Hodhiya, Hashumu, Bhezai, 19 Harifi, Anatoti, Nebhai, 20 Magpiyashi, Meshuramu, Heziri, 21 Meshezabheri, Zadhoki, Jadhua, 22 Peratiya, Hanani, Anaya, 23 Hoshea, Hananiya, Hashubhu, 24 Haroheshi, Piriha, Shobheki, 25 Rehumu, Hashabna, Maaseya, 26 Ahija, Hanani, Anani, 27 Maruki, Harimu, naBhaana.

28 Vamwe vanhu vese, kureva vapristi, vaRevhi, varindi vepamagedhi, vaimbi, vashandi vepatemberi,* nevese vakazviparadzanisa nemarudzi enyika dzacho kuti vachengete Mutemo waMwari wechokwadi,+ nemadzimai avo, vanakomana vavo, nevanasikana vavo, kureva vanhu vese vaiziva uye vainzwisisa,* 29 vakabatana nehama dzavo, varume vainge vakakurumbira pakati pavo, uye vakazvisunga nemhiko inosanganisira kutukwa, kuti vafambe muMutemo waMwari wechokwadi, wakanga wapiwa pachishandiswa Mozisi muranda waMwari wechokwadi, uye kuti vanyatsochengeta mirayiro yese yaJehovha Ishe wedu nemitongo yake, nemirau yake. 30 Hatizopi vanasikana vedu kumarudzi enyika yacho, uye hatizotori vanasikana vavo kuti tipe vanakomana vedu.+

31 Kana marudzi enyika yacho akaunza zvinhu zvawo nezviyo* zvemarudzi ese kuti atengese pazuva reSabata, hapana chatichatenga kwaari paSabata+ kana pazuva dzvene.+ Uyewo ticharega kuwana zvibereko zvegore rechi7+ uye hatizobhadharisi chero chikwereti chinenge chisati chabhadharwa.+

32 Uyewo takazvitemera kuti gore negore mumwe nemumwe wedu anofanira kupa chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zveshekeri* chekushandisa pabasa reimba* yaMwari wedu,+ 33 pazvingwa zvinoturikidzaniswa,*+ mupiro wezviyo unogara uchipiwa,+ chibayiro chinopiswa chinogara chichipiwa chemaSabata+ nekugara kwemwedzi,+ uye mitambo yenguva dzakasarudzwa,+ zvinhu zvitsvene, zvibayiro zvechivi+ zvekuyananisira vaIsraeri, uye pabasa rese reimba yaMwari wedu.

34 Takakandawo mijenya panyaya yehuni dzinofanira kuunzwa kuimba yaMwari wedu nevapristi, vaRevhi, nevanhu, maererano nedzimba dzemadzibaba edu, panguva dzakasarudzwa, gore negore, kuti dzibvire paatari yaJehovha Mwari wedu, maererano nezvakanyorwa muMutemo.+ 35 Tichaunzawo zvibereko zvinotanga kuibva zvenyika yedu nemichero inotanga kuibva yemiti yemarudzi ese, gore negore, kuimba yaJehovha,+ 36 uye matangwe evanakomana vedu neezvipfuwo zvedu,+ maererano nezvakanyorwa muMutemo, nematangwe emombe dzedu neemakwai edu nembudzi dzedu. Tichazviunza kuimba yaMwari wedu, kuvapristi vanoshumira paimba yaMwari wedu.+ 37 Tichauyawo neupfu husina kutsetseka hwezvibereko zvedu zvekutanga,+ mipiro yedu, michero yemiti yemarudzi ese,+ waini itsva, nemafuta,+ kuvapristi kudzimba dzekuchengetera zvinhu* dzeimba yaMwari wedu,+ pamwe chete nechegumi chenyika yedu kuvaRevhi,+ nekuti vaRevhi ndivo vanotora zvegumi mumaguta edu ese anoita zvekurima.

38 Mupristi, mwanakomana waAroni, anofanira kuva nevaRevhi pavanotora chegumi; uye vaRevhi vachapa chegumi kubva pane chegumi chacho kuimba yaMwari wedu,+ kumatura.* 39 Nekuti vaIsraeri nevanakomana vevaRevhi vanofanira kuunza mupiro+ wezviyo, waini itsva, nemafuta+ kudzimba dzekuchengetera zvinhu,* uye ndiko kune midziyo yenzvimbo tsvene, nevapristi vanoshumira, nevarindi vepamagedhi, nevaimbi. Hatisi kuzoregeredza imba yaMwari wedu.+

11 Machinda evanhu aigara muJerusarema,+ asi vamwe vanhu vese vakakanda mijenya+ kuti vaunze munhu mumwe chete pavanhu gumi vega vega kuti agare muJerusarema, guta dzvene, vamwe 9 vachisara mune mamwe maguta. 2 Uyewo vanhu vakarumbidza varume vese vakazvipira kugara muJerusarema.

3 Ava ndivo vakuru vedunhu vaigara muJerusarema. (Vamwe vaIsraeri vese, vapristi, vaRevhi, vashandi vepatemberi,*+ nevanakomana vevashandi vaSoromoni,+ vaigara mune mamwe maguta eJudha, mumwe nemumwe munzvimbo yake, muguta rake.+

4 Paivawo nevamwe vanhu vekwaJudha nevekwaBhenjamini vaigara muJerusarema.) Pavanhu vekwaJudha paiva naAtaya mwanakomana waUziya mwanakomana waZekariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waShefatiya mwanakomana waMaharareri wekuvanakomana vaPerezi,+ 5 naMaaseya mwanakomana waBharuki mwanakomana waKorihoze mwanakomana waHazaya mwanakomana waAdhaya mwanakomana waJoyaribhi mwanakomana waZekariya mwanakomana wemuShera. 6 Vanakomana vese vaPerezi vaigara muJerusarema vaiva 468, varume vaiva nesimba.

7 Ava ndivo vaiva vanhu vekwaBhenjamini: Saruu+ mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waJoedhi mwanakomana waPedhaya mwanakomana waKoraya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waItieri mwanakomana waJeshaya, 8 uye aiteverwa naGabhai naSereai, varume 928; 9 uye Joeri mwanakomana waZikri ndiye aiva mutariri wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua ndiye aiva mutevedzeri wemutariri weguta.

10 Kuvapristi: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi, Jakini,+ 11 Seraya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waZadhoki mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhu,+ mutungamiriri weimba* yaMwari wechokwadi, 12 nehama dzavo dzaiita basa reimba yacho, 822; uye Adhaya mwanakomana waJerohamu mwanakomana waPerariya mwanakomana waAmzi mwanakomana waZekariya mwanakomana waPashuri+ mwanakomana waMarikija, 13 nehama dzake, vakuru vedzimba dzemadzibaba, 242; uye Amashisai mwanakomana waAzareri mwanakomana waAzai mwanakomana waMeshiremoti mwanakomana waImeri, 14 nehama dzavo, idzo dzaiva varume vane simba uye vakashinga, 128; uye mutariri wavo aiva Zabdhieri, wekumhuri yaiva nemukurumbira.

15 KuvaRevhi: Shemaya+ mwanakomana waHashubhu mwanakomana waAzrikamu mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waBhuni, 16 naShabhetai+ naJozabhadhi,+ vekuvakuru vevaRevhi avo vaiona nezvezvinhu zvaiitwa kunze kweimba yaMwari wechokwadi; 17 naMataniya,+ mwanakomana waMika mwanakomana waZabdhi mwanakomana waAsafi,+ uyo aitungamirira pakuimba uye aitungamirira pakurumbidza kwaiitwa pakunyengetera,+ uye Bhakbhukiya, uyo aiva wechipiri pahama dzake, naAbdha mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari mwanakomana waJedhutuni.+ 18 VaRevhi vese avo vaiva muguta dzvene vaiva 284.

19 Varindi vepamagedhi vaiva Akubhu naTarimoni+ nehama dzavo, varume 172.

20 Vamwe vaIsraeri vese, vapristi, nevaRevhi, vaiva mune mamwe maguta ese aJudha, mumwe nemumwe munhaka yake. 21 Vashandi vepatemberi*+ vaigara muOferi,+ uye Ziha naGishpa vaitungamirira vashandi ivavo vepatemberi.

22 Mutariri wevaRevhi muJerusarema aiva Uzai mwanakomana waBhani mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waMataniya+ mwanakomana waMaika wekuvanakomana vaAsafi avo vaiva vaimbi; ndiye aitungamirira basa reimba yaMwari wechokwadi. 23 Nekuti paiva nemurayiro wamambo pamusoro pavo,+ uye paiva nezvaifanira kugara zvichipiwa vaimbi maererano nezvaidiwa zuva nezuva. 24 Petahiya mwanakomana waMeshezabheri wekuvanakomana vaZera mwanakomana waJudha aiva chipangamazano wamambo* panyaya dzese dzevanhu.

25 Kana iri misha neminda yayo, vamwe vanhu veJudha vaigara muKiriyati-abha+ nemaguta madiki akaipoteredza, muDhibhoni nemaguta madiki akaipoteredza, muJekabhuzeeri+ nemisha yayo, 26 muJeshua, muMoradha,+ muBheti-pereti,+ 27 muHazari-shuari,+ muBheeri-shebha nemaguta madiki akaipoteredza, 28 muZikragi,+ muMekona nemaguta madiki akaipoteredza, 29 muEni-rimoni,+ muZora,+ nemuJamuti, 30 muZanoa,+ muAdhuramu nemisha yayo, muRakishi+ neminda yayo, nemuAzeka+ nemaguta madiki akaipoteredza. Vakagara* munzvimbo yaitangira kuBheeri-shebha kunosvika kuBani raHinomu.+

31 Vanhu vekwaBhenjamini vaiva muGebha,+ Mikmashi, Aija, Bheteri+ nemaguta madiki akaipoteredza, 32 Anatoti,+ Nobhu,+ Ananiya, 33 Hazori, Rama,+ Gitaimu, 34 Hadhidhi, Zebhoimu, Nebharati, 35 Rodhi, neOno,+ bani remhizha. 36 Mamwe mapoka evaRevhi emuJudha akaiswa kwaBhenjamini.

12 Ava ndivo vapristi nevaRevhi vakaenda naZerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri+ uye naJeshua:+ Seraya, Jeremiya, Ezra, 2 Amariya, Maruki, Hatushi, 3 Shekaniya, Rehumu, Meremoti, 4 Idho, Ginetoi, Abhija, 5 Mijamini, Maadhiya, Bhiriga, 6 Shemaya, Joyaribhi, Jedhaya, 7 Saruu, Amoki, Hirikiya, naJedhaya. Ava ndivo vaiva vakuru vevapristi nehama dzavo pamazuva aJeshua.

8 VaRevhi vaiva Jeshua, Bhinui, Kadmieri,+ Sherebhiya, Judha, naMataniya,+ uyo aitungamirira nziyo dzekuonga, iye nehama dzake. 9 Uye hama dzavo Bhakbhukiya naUni vaimira pakatarisana navo vachiita basa rekurinda.* 10 Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriyashibhi,+ Eriyashibhi akabereka Joyadha.+ 11 Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua.

12 Pamazuva aJoyakimu, ava ndivo vaiva vapristi, vakuru vedzimba dzemadzibaba: wekwaSeraya,+ Meraya; wekwaJeremiya, Hananiya; 13 wekwaEzra,+ Meshuramu; wekwaAmariya, Jehohanani; 14 wekwaMarukai, Jonatani; wekwaShebhaniya, Josefa; 15 wekwaHarimu,+ Adna; wekwaMerayoti, Herikai; 16 wekwaIdho, Zekariya; wekwaGinetoni, Meshuramu; 17 wekwaAbhija,+ Zikri; wekwaMiniyamini, . . .  ;* wekwaMoadhiya, Piritai; 18 wekwaBhiriga,+ Shamua; wekwaShemaya, Jehonatani; 19 wekwaJoyaribhi, Matenai; wekwaJedhaya,+ Uzai; 20 wekwaSereai, Karai; wekwaAmoki, Ebheri; 21 wekwaHirikiya, Hashabhiya; wekwaJedhaya, Netaneri.

22 Vakuru vedzimba dzemadzibaba evaRevhi pamazuva aEriyashibhi, Joyadha, Johanani, naJadhua+ vakanyorwa, sezvakaitwawo vapristi, kusvika pakutonga kwaDhariyasi muPezhiya.

23 VaRevhi vaya vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba vakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yacho, kusvika pamazuva aJohanani mwanakomana waEriyashibhi. 24 Vakuru vevaRevhi vaiva Hashabhiya, Sherebhiya, naJeshua+ mwanakomana waKadmieri,+ uye hama dzavo dzaimira pakatarisana navo kuti dzirumbidze nekuonga maererano nemirayiro yaDhavhidhi+ munhu waMwari wechokwadi, rimwe boka revarindi riri kudivi rekuno, rimwe riri kune rimwe divi. 25 Mataniya,+ Bhakbhukiya, Obhadhiya, Meshuramu, Tarimoni, naAkubhu+ vairinda pamagedhi,+ vachirinda dzimba dzekuchengetera zvinhu dziri pedyo nemagedhi. 26 Ava vaishumira pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua+ mwanakomana waJozadhaki uye pamazuva agavhuna Nehemiya nemupristi Ezra,+ munyori.

27 Pakakumikidzwa rusvingo rweJerusarema, vakatsvaga vaRevhi vakauya navo kuJerusarema vachibva kunzvimbo dzese dzavaigara kuti vapemberere kukumikidza kwacho nemufaro mukuru, nenziyo dzekuonga,+ nezviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo, neudimbwa. 28 Vanakomana vevaimbi* vakaungana vachibva mudunhu* racho, kubva kumativi ese eJerusarema, kubva mumisha yevaNetofa,+ 29 kubva kuBheti-girigari,+ uye kubva kunharaunda yeGebha+ neAzmavheti,+ nekuti vaimbi vainge vazvivakira misha kumativi ese eJerusarema. 30 Vapristi nevaRevhi vakazvichenesa uye vakachenesa vanhu,+ nemagedhi,+ nerusvingo.+

31 Ndakabva ndakwidza machinda eJudha parusvingo. Ndakagadzawo mapoka makuru maviri evaimbi ekuonga aiteverwa nemidungwe yevanhu, uye rimwe raifamba riri parusvingo richienda kurudyi rakananga kuGedhi reMirwi yeMadota.+ 32 Hoshaya nehafu yemachinda eJudha vaifamba vari kumashure kwavo, 33 pamwe chete naAzariya, Ezra, naMeshuramu, 34 Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremiya. 35 Vaiva nevamwe vanakomana vevapristi vaiva nemabhosvo:+ Zekariya mwanakomana waJonatani mwanakomana waShemaya mwanakomana waMataniya mwanakomana waMikaya mwanakomana waZakuri mwanakomana waAsafi,+ 36 nehama dzake Shemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, Netaneri, Judha, naHananai, vaine zviridzwa zvaDhavhidhi+ munhu waMwari wechokwadi; uye munyori Ezra+ aiva mberi kwavo. 37 PaGedhi reChitubu+ vakabva vati tande vachikwidza Matanho+ eGuta raDhavhidhi+ pamukwidza werusvingo, pamusoro peImba yaDhavhidhi kunosvika kuGedhi reMvura+ kumabvazuva.

38 Rimwe boka revaimbi rekuonga raifamba richienda nerimwe divi,* uye ndakaritevera pamwe chete nehafu yevanhu, pamusoro perusvingo nepaShongwe yeOvheni+ kusvika kuRusvingo Rwakafara+ 39 nepamusoro peGedhi raEfremu+ kusvika kuGedhi reGuta reKare+ uye kusvika kuGedhi reHove,+ Shongwe yaHananeri,+ Shongwe yeMeya, uye kunosvika kuGedhi reMakwai;+ uye vakamira paGedhi reVarindi.

40 Mapoka acho maviri evaimbi, ekuonga, akazomira pamberi peimba yaMwari wechokwadi; neniwo nehafu yevatevedzeri vevatongi vandaiva navo, 41 nevapristi, Eriyakimu, Maaseya, Miniyamini, Mikaya, Erioenai, Zekariya, naHananiya, vaine mabhosvo, 42 naMaaseya, Shemaya, Eriyezari, Uzai, Jehohanani, Marikija, Eramu, naEzeri. Uye vaimbi vakaimba nenzwi riri pamusoro vachitungamirirwa naIzrahiya.

43 Pazuva iroro vakapa zvibayiro zvakawanda uye vakafara chaizvo,+ nekuti Mwari wechokwadi akaita kuti vafare zvikuru. Vakadzi nevana vakafarawo chaizvo,+ zvekuti kufara kweJerusarema kwaigona kunzwika kure.+

44 Pazuva iroro pakagadzwa varume kuti vaone nezvematura+ emipiro,+ zvibereko zvekutanga,+ nezvegumi.+ Vaifanira kuisa maari zvinhu zvaibva muminda yemaguta zvakanyorwa muMutemo+ zvevapristi nevaRevhi,+ nekuti muJudha maiva nemufaro mukuru nekuda kwevapristi nevaRevhi vainge vachishumira. 45 Vakatanga kuita mabasa aMwari wavo uye zvavaisungirwa kuti vaite panyaya yekuzvichenesa, sezvakaitwawo nevaimbi nevarindi vepamagedhi, maererano nemirayiro yaDhavhidhi nemwanakomana wake Soromoni. 46 Nekuti makare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi kwaiva nevatungamiriri* vevaimbi uye venziyo dzekurumbidza nekuonga Mwari.+ 47 Uye mumazuva aZerubhabheri+ nemumazuva aNehemiya, vaIsraeri vese vaipa vaimbi+ nevarindi vepamagedhi zvinhu,+ zvichienderana nezvaidiwa zuva nezuva. Vaipawo vaRevhi zvinhu zvitsvene,+ uye vaRevhi vaipawo zvinhu zvitsvene kuvazukuru vaAroni.

13 Pazuva iroro bhuku raMozisi rakaverengwa vanhu vachinzwa;+ uye makawanikwa makanyorwa kuti hapatombofaniri kuva nemuAmoni kana muMoabhi+ anopinda muungano yaMwari wechokwadi,+ 2 nekuti ivo havana kunosangana nevaIsraeri nechingwa nemvura, asi vakabhadhara Bharami kuti avatuke.+ Asi Mwari wedu akachinja kutuka kwacho kukava kukomborera.+ 3 Pavakangonzwa Mutemo wacho, vakatanga kubvisa pavaIsraeri vanhu vese vekune dzimwe nyika.*+

4 Izvi zvisati zvaitika, Eriyashibhi,+ hama yaTobhiya+ ndiye aiva mupristi aiona nezvedzimba dzekuchengetera zvinhu dzeimba* yaMwari wedu.+ 5 Akanga amupa imba huru yekuchengetera zvinhu, yavaimboisa mupiro wezviyo,* zvinonhuhwirira zvichena, nemidziyo nechegumi chezviyo, waini itsva nemafuta,+ zviya zvaifanira kupiwa vaRevhi,+ vaimbi nevarindi vepamagedhi, pamwe chete nemupiro wevapristi.+

6 Panguva yese iyi ndakanga ndisiri muJerusarema, nekuti ndakaenda kuna mambo mugore rechi32+ raMambo Atashasta+ weBhabhironi; uye papera nguva ndakakumbira mambo kuti andibvumire kumbobva pabasa. 7 Ndakabva ndasvika kuJerusarema ndikaona zvinhu zvakaipa zvikuru zvakanga zvaitwa naEriyashibhi,+ achiitira Tobhiya.+ Akanga amupa imwe yedzimba dzekuchengetera zvinhu muchivanze cheimba yaMwari wechokwadi. 8 Izvi hazvina kana kumbondifadza, saka ndakatora midziyo yese yaTobhiya yaiva muimba yekuchengetera zvinhu* ndikaikanda panze. 9 Pashure paizvozvo ndakapa mirayiro, vachibva vachenesa dzimba dzekuchengetera zvinhu;* uye ndakadzorera imomo midziyo yeimba yaMwari wechokwadi,+ pamwe chete nemupiro wezviyo nezvinonhuhwirira zvichena.+

10 Ndakaonawo kuti vaRevhi+ vakanga vasina kupiwa migove yavo,+ saka vaRevhi nevaimbi avo vaiita basa vakanga vaenda, mumwe nemumwe kumunda wake.+ 11 Saka ndakatsiura vatevedzeri vevatongi+ ndikati: “Neiko imba yaMwari wechokwadi yaregeredzwa?”+ Ndakabva ndavaunganidza ndikavadzorera panzvimbo dzavo. 12 Uye vaJudha vese vakaunza chegumi+ chezviyo, waini itsva, nemafuta kudzimba dzekuchengetera zvinhu.+ 13 Ndakabva ndaita kuti mupristi Sheremiya nemunyori Zadhoki naPedhaya wekuvaRevhi vaone nezvedzimba dzacho; vachibatsirwa naHanani mwanakomana waZakuri mwanakomana waMataniya, nekuti varume ava vaivimbwa navo. Ndivo vaiva nebasa rekupa hama dzavo migove yadzo.

14 Ndiyeukeiwo+ Mwari wangu, pamusoro peizvi, uye musadzima mabasa angu erudo rusingachinji andakaitira imba yaMwari wangu nebasa rinoitwa ipapo.+

15 Mumazuva iwayo ndakaona vanhu muJudha vachitsika-tsika zvisviniro zvewaini paSabata,+ vachiuya nemirwi yezviyo vachiitakudza madhongi, uye vachiuya newaini, mazambiringa, maonde, nemitoro yemarudzi ese muJerusarema pazuva reSabata.+ Saka ndakavatsiura kuti vasatengesa zvekudya pazuva iroro.* 16 Uye vaTire vaya vaigara muguta vaiuya nehove nezvekutengesa zvemarudzi ese, vachizvitengesera vanhu veJudha muJerusarema paSabata.+ 17 Saka ndakatsiura vakuru vakuru veJudha ndikavati: “Ndicho chii ichi chakaipa kudai chamuri kuita, muchitosvibisa zvenyu zuva reSabata? 18 Izvi handizvo here zvakaitwa nemadzitateguru enyu, zvikaita kuti Mwari wedu aunze nhamo yese iyi patiri nepaguta rino? Iye zvino mava kuwedzera kutsamwirwa kwaIsraeri nekusvibisa kwamuri kuita Sabata.”+

19 Saka mumvuri pawakangotanga kusvika pamagedhi eJerusarema Sabata risati ratanga, ndakarayira kuti masuo avharwe. Ndakataurawo kuti vasaavhura kusvikira Sabata rapfuura, uye ndakaisa vamwe vashandi vangu pamagedhi acho kuti pasava nemutoro unopinda pazuva reSabata. 20 Saka vaya vaichinjanisa zvinhu nevaitengesa zvinhu zvemarudzi ese vakarara kunze kweJerusarema kamwe chete kana kaviri. 21 Ndakabva ndavayambira ndikati kwavari: “Muri kurarirei pamberi perusvingo? Kana mukazviita zvakare, ndichakubvisai nechisimba.” Kubvira panguva iyoyo havana kuzouya paSabata.

22 Uye ndakaudza vaRevhi kuti vagare vachizvichenesa, vouya vachirinda magedhi acho kuti Sabata rirambe riri dzvene.+ Ndiyeukeiwo nekuda kweizvi, haiwa Mwari wangu, uye ndinzwirei tsitsi maererano neukuru hwerudo rwenyu rusingachinji.+

23 Mumazuva iwayo ndakaonawo vaJudha vakanga varoora* madzimai+ echiAshdhodhi,+ echiAmoni, neechiMoabhi.+ 24 Hafu yevanakomana vavo yaitaura chiAshdhodhi, uye imwe hafu yaitaura mitauro yemamwe marudzi, asi hapana aigona kutaura mutauro wevaJudha. 25 Saka ndakavatsiura, ndikashevedzera kutukwa pavari, ndikarova vamwe varume+ ndikavadzura bvudzi, ndikaita kuti vapike naMwari ndichiti: “Musapa vanakomana vavo vanasikana venyu, uye musagamuchira chero mwanasikana wavo kuti mupe vanakomana venyu kana kuti mutore imimi.+ 26 Havasi ivo vakaita kuti Mambo Soromoni weIsraeri atadze here? Pamarudzi mazhinji hapana mambo ainge akafanana naye;+ uye aidiwa naMwari wake,+ zvekuti Mwari akamuita mambo wevaIsraeri vese. Asi madzimai ekune dzimwe nyika akatoita kuti naiyewo atadze.+ 27 Zvinotoshamisa kuti muri kuita zvinhu zvakaipa kudai zvisina kutendeka kuna Mwari wedu muchiroora madzimai ekune dzimwe nyika!”+

28 Mumwe wevanakomana vaJoyadha+ mwanakomana wemupristi mukuru Eriyashibhi+ akanga ava mukuwasha waSanibharati+ muHoroni. Saka ndakamudzinga kuti abve kwandiri.

29 Yeukai, haiwa Mwari wangu, kuti vakasvibisa upristi nesungano yeupristi+ nevaRevhi.+

30 Ndakavanatsa pazvinhu zvese zvinosvibisa zvekune dzimwe nyika, ndikapa vapristi nevaRevhi mabasa, mumwe nemumwe basa rake,+ 31 ndikaronga nezvekuunzwa kwehuni+ panguva dzakatarwa uye nezvezvibereko zvaitanga kuibva.

Mwari wangu, ndiyeukeiwo mundikomborere.*+

Kureva kuti “Jah Anonyaradza.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “mumuzinda unonzi.”

Kana kuti “Susa.”

Kana kuti “yambiro yamakapa.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Kana kuti “namambokadzi.”

Kana kuti “eMhiri kwaYufratesi.”

Kana kuti “wesango ramambo.”

Kana kuti “yeTemberi.”

ChiHeb., “muranda.”

ChiHeb., “vakasimbisa maoko avo.”

ChiHeb., “muranda.”

Kana kuti “chamuine kodzero yekuwana.”

Kana kuti “Vakarikumikidza.”

ChiHeb., “havana kuisa mitsipa yavo pabasa.”

ChiHeb., “vekuchigaro cheumambo chagavhuna.”

Kana kuti “weMhiri kwaYufratesi.”

Kana kuti “wevanogadzira zvinonhuhwirira.”

Kana kuti “vakagadzira chikamu chakayerwa.”

Mamita angasvika 445. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Dzimwe shanduro dzinoti, “vemudunhu repedyo.”

Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.

Kana kuti “yevaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.

Kana kuti “Vanotakura zvinorema.”

ChiHeb., “vaitiudza kagumi.”

Kana kuti “chombo chinoita zvekukandwa.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “nyama yedu yakafanana nenyama yehama dzedu.”

Kureva, chimbadzo chaibhadhariswa pamwedzi.

ChiHeb., “ndakazunza chipfuva changu.”

Kana kuti “Ngazviitike!”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “muchindifarira.”

ChiHeb., “mumwoyo mako.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.

Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.

Kana kuti “vakarambidzwa kuva vapristi vachinzi havana kuchena.”

Kana kuti “muTishata,” zita rebasa rechiPezhiya ragavhuna wedunhu.

Kana kuti “MuTishata,” zita rebasa rechiPezhiya ragavhuna wedunhu.

Rinowanzonzi rakaenzana nedhariki regoridhe rekuPezhiya rairema magiramu 8,4. Harisi iro drakema remuMagwaro echiGiriki. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

MuMagwaro echiHebheru, maina rakaenzana nemagiramu 570. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “naIsraeri wese.”

Kana kuti “uyo aikopa Magwaro.”

Kana kuti “Ngazviitike!”

Kana kuti “muTishata,” zita rebasa rechiPezhiya ragavhuna wedunhu.

ChiHeb., “zvinhu zvine mafuta.”

Kana kuti “ndiwo simba renyu.”

Kana kuti “kwemaawa matatu.”

Kana kuti “kubva nekusingaperi kusvika nekusingaperi.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “mitemo yakavimbika.”

ChiHeb., “masimudzira ruoko rwenyu muchiti.”

ChiHeb., “vakaomesa mitsipa.”

ChiHeb., “vakaomesa mitsipa.”

Kana kuti “Mwari wemabasa ekukanganwira.”

Kana kuti “nyasha.”

Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”

ChiHeb., “vakakandira Mutemo wenyu kumashure kwavo.”

Kana kuti “nyasha.”

Kana kuti “MuTishata,” zita rebasa rechiPezhiya ragavhuna wedunhu.

Kana kuti “vaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.

Dzimwe shanduro dzinoti, “vaya vese vakanga vakura zvekugona kunzwisisa.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “retemberi.”

Kureva, zvingwa zvekuratidza.

Kana kuti “kudzimba dzekudyira.”

Kana kuti “kudzimba dzekudyira.”

Kana kuti “kudzimba dzekudyira.”

Kana kuti “vaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.

Kana kuti “wetemberi.”

Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.

ChiHeb., “aiva paruoko rwamambo.”

Kana kuti “Vakadzika musasa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “panguva yekushumira.”

Zvinoratidza sekuti muchiHebheru pano pakasiyiwa zita.

Kana kuti “Vaimbi vakadzidziswa.”

Kureva, dunhu rekuJodhani.

Kana kuti “raifamba riri mberi.”

ChiHeb., “nevakuru.”

Kana kuti “vaiva nemumwe mubereki asiri wechiIsraeri.”

Kana kuti “dzetemberi.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “muimba yekudyira.”

Kana kuti “dzimba dzekudyira.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “pazuva iroro ndakavayambira kuti vasatengesa zvekudya.”

Kana kuti “vapinza mudzimba dzavo.”

Kana kuti “muchindifarira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe