EZRA
1 Mugore rekutanga raMambo Koreshi+ wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, Jehovha akaisa pfungwa mumwoyo maMambo Koreshi wePezhiya yekuti azivise shoko muumambo hwake hwese, iro raakabva anyorawo,+ achiti:
2 “Zvanzi naMambo Koreshi wePezhiya, ‘Jehovha Mwari wedenga akandipa umambo hwese hwenyika,+ uye akandirayira kuti ndimuvakire imba muguta reJerusarema,+ riri muJudha. 3 Munhu wese ari pakati penyu anomushumira, Mwari wake ngaave naye, uye ngaakwidze aende kuguta reJerusarema riri muJudha, anovakazve imba yaJehovha Mwari waIsraeri, ndiye Mwari wechokwadi uyo ane imba yaiva muJerusarema.* 4 Munhu wese ari kugara ari mutorwa,+ chero kwaangave, ngaabatsirwe nevavakidzani vake,* vamupe sirivha negoridhe, nezvimwe zvinhu nezvipfuwo, pamwe chete nemipiro yekungopawo nekuzvidira yeimba yaMwari wechokwadi,+ iyo yaiva muJerusarema.’”
5 Vakuru vedzimba dzemadzibaba aJudha neaBhenjamini nevapristi nevaRevhi, munhu wese ane mwoyo* wakanga wakurudzirwa naMwari wechokwadi, akabva agadzirira kuti akwidze kunovakazve imba yaJehovha, yaiva muJerusarema. 6 Vaya vese vakanga vakavapoteredza vakavatsigira* kuburikidza nekuvapa midziyo yesirivha neyegoridhe, zvimwewo zvinhu, zvipfuwo, nezvinhu zvinokosha, tisingabatanidzi mipiro yavakangopawo nekuzvidira.
7 Mambo Koreshi akabudisawo midziyo yeimba yaJehovha yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kuJerusarema akaiisa muimba yamwari wake.+ 8 Mambo Koreshi wePezhiya akaibudisa, Mitredhati muchengeti wepfuma achitungamirira basa racho, uyo akaiverengera Sheshbhazari*+ jinda rekwaJudha.
9 Uku ndiko kwaiva kuwanda kwayo: midziyo yegoridhe 30 yakaita setswanda, midziyo yesirivha 1 000 yakaita setswanda, midziyo 29 yekutsiva mimwe, 10 ndiro diki 30 dzegoridhe, ndiro diki 410 dzesirivha, nemimwe midziyo 1 000. 11 Midziyo yacho yese yegoridhe neyesirivha yaiva 5 400. Sheshbhazari akaenda nezvinhu izvi zvese pakabudiswa nhapwa+ muBhabhironi dzichiendeswa kuJerusarema.
2 Ava ndivo vaiva vanhu vemudunhu racho, vakabva pane vaya vakanga vatapwa,+ avo vakanga vaendeswa kuBhabhironi+ naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, vachibva vazodzoka kuJerusarema neJudha, mumwe nemumwe kuguta rake,+ 2 vaya vakauya naZerubhabheri,+ Jeshua,+ Nehemiya, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Mispari, Bhigvhai, Rehumu, naBhaana.
Uhwu ndihwo uwandu hwevarume veIsraeri:+ 3 vanakomana vaParoshi, 2 172; 4 vanakomana vaShefatiya, 372; 5 vanakomana vaAraa,+ 775; 6 vanakomana vaPahati-moabhi,+ vekuvanakomana vaJeshua naJoabhi, 2 812; 7 vanakomana vaEramu,+ 1 254; 8 vanakomana vaZatu,+ 945; 9 vanakomana vaZakai, 760; 10 vanakomana vaBhani, 642; 11 vanakomana vaBhebhai, 623; 12 vanakomana vaAzgadhi, 1 222; 13 vanakomana vaAdhonikamu, 666; 14 vanakomana vaBhigvhai, 2 056; 15 vanakomana vaAdhini, 454; 16 vanakomana vaAteri, wekwaHezekiya, 98; 17 vanakomana vaBhezai, 323; 18 vanakomana vaJora, 112; 19 vanakomana vaHashumu,+ 223; 20 vanakomana vaGibhari, 95; 21 vanakomana vekuBhetrehema, 123; 22 varume vekuNetofa, 56; 23 varume vekuAnatoti,+ 128; 24 vanakomana vekuAzmavheti, 42; 25 vanakomana vekuKiriyati-jearimu, Kefira, neBheeroti, 743; 26 vanakomana vekuRama+ neGebha,+ 621; 27 varume vekuMikmasi, 122; 28 varume vekuBheteri neAi,+ 223; 29 vanakomana vekuNebho,+ 52; 30 vanakomana vekuMagbhishi, 156; 31 vanakomana vemumwe Eramu, 1 254; 32 vanakomana vaHarimu, 320; 33 vanakomana vekuRodhi, Hadhidhi, neOno, 725; 34 vanakomana vekuJeriko, 345; 35 vanakomana vekuSenaa, 3 630.
36 Vapristi vaiva:+ vanakomana vaJedhaya+ veimba yaJeshua,+ 973; 37 vanakomana vaImeri,+ 1 052; 38 vanakomana vaPashuri,+ 1 247; 39 vanakomana vaHarimu,+ 1 017.
40 VaRevhi vaiva:+ vanakomana vaJeshua naKadmieri,+ vekuvanakomana vaHodhavhiya, 74. 41 Vaimbi vaiva:+ vanakomana vaAsafi,+ 128. 42 Vanakomana vevarindi vepamagedhi vaiva:+ vanakomana vaSharumu, vanakomana vaAteri, vanakomana vaTarimoni,+ vanakomana vaAkubhu,+ vanakomana vaHatita, vanakomana vaShobhai, vese pamwe chete vaiva 139.
43 Vashandi vepatemberi* vaiva:+ vanakomana vaZiha, vanakomana vaHasufa, vanakomana vaTabhaoti, 44 vanakomana vaKerosi, vanakomana vaSiaha, vanakomana vaPadhoni, 45 vanakomana vaRebhana, vanakomana vaHagabha, vanakomana vaAkubhu, 46 vanakomana vaHagabhu, vanakomana vaSarimai, vanakomana vaHanani, 47 vanakomana vaGidheri, vanakomana vaGahari, vanakomana vaReaya, 48 vanakomana vaRezini, vanakomana vaNekodha, vanakomana vaGazamu, 49 vanakomana vaAza, vanakomana vaPaseya, vanakomana vaBhesai, 50 vanakomana vaAsna, vanakomana vaMeunimu, vanakomana vaNefusimu, 51 vanakomana vaBhakbhuki, vanakomana vaHakufa, vanakomana vaHahuri, 52 vanakomana vaBhazruti, vanakomana vaMehidha, vanakomana vaHasha, 53 vanakomana vaBhakosi, vanakomana vaSisera, vanakomana vaTema, 54 vanakomana vaNeziya, vanakomana vaHatifa.
55 Vanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva: vanakomana vaSotai, vanakomana vaSofereti, vanakomana vaPerudha,+ 56 vanakomana vaJaraa, vanakomana vaDhakoni, vanakomana vaGidheri, 57 vanakomana vaShefatiya, vanakomana vaHatiri, vanakomana vaPokereti-hazebhaimu, vanakomana vaAmi.
58 Vashandi vepatemberi* vese nevanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva 392.
59 Ava ndivo vakabva kuTeri-mera, Teri-hasha, Kerubhi, Adhoni, neImeri, asi vakatadza kuratidza kuti imba yemadzibaba avo ndeipi kana kwavakabva nako, kuti vaiva vaIsraeri here:+ 60 vanakomana vaDheraya, vanakomana vaTobhiya, vanakomana vaNekodha, 652. 61 Uye kuvanakomana vevapristi: vanakomana vaHabhaya, vanakomana vaHakozi,+ vanakomana vaBhazirai, uyo akatora mudzimai pavanasikana vaBhazirai+ muGiriyedhi, akashevedzwa nezita remhuri yacho. 62 Ava vakatsvaga zvinyorwa zvavo kuti varatidze kuti dzinza ravo nderipi, asi vakazvishaya, saka vakanzi havana kukodzera kuva vapristi.*+ 63 Saka gavhuna* akavaudza kuti havangadyi zvinhu zvitsvenetsvene+ kusvikira pava nemupristi anobvunza Urimu neTumimu.+
64 Ungano yacho yese yaiva nevanhu 42 360,+ 65 tisingabatanidzi varandarume vavo nevarandasikana vavo, avo vaiva 7 337; uye vaivawo nevaimbi 200 vechirume nevechikadzi. 66 Mabhiza avo aiva 736, manyurusi avo aiva 245, 67 ngamera dzavo dzaiva 435, madhongi avo ari 6 720.
68 Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba dzemadzibaba vakapa mipiro yeimba yaMwari wechokwadi nekuzvidira,+ kuti vaivakezve* panzvimbo yayo.+ 69 Maererano nezvavaiwana, vakapa madrakema* 61 000 egoridhe kuti ashandiswe pabasa racho, nemamaina* 5 000 esirivha,+ nenguo refu 100 dzevapristi. 70 Vapristi, vaRevhi, nevamwe vanhu, vaimbi, varindi vepamagedhi, nevashandi vepatemberi* vakagara mumaguta avo, nevamwe vaIsraeri vese.*+
3 Pakasvika mwedzi wechi7,+ vaIsraeri* vakanga vava mumaguta avo, uye vakaungana muJerusarema vakabatana. 2 Jeshua+ mwanakomana waJehozadhaki nevamwe vapristi naZerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri+ nehama dzake vakasimuka vakavaka atari yaMwari waIsraeri, kuti vape zvibayiro zvinopiswa pairi, sezvakanyorwa muMutemo waMozisi+ munhu waMwari wechokwadi.
3 Saka vakamisa atari panzvimbo yayaimbova, pasinei nekuti vaitya vanhu venyika dzakanga dzakavapoteredza,+ uye vakatanga kupa Jehovha zvibayiro zvinopiswa pairi, zvibayiro zvinopiswa zvemangwanani nezvemanheru.+ 4 Vakabva vaita Mutambo Wematumba maererano nezvakanyorwa,+ uye zuva nezuva vaipa zvibayiro zvinopiswa zvine uwandu hwakanga hwataurwa kuti ndihwo hwaidiwa zuva rimwe nerimwe.+ 5 Pashure paizvozvo vakapa mupiro unopiswa unogara uchipiwa,+ nemipiro yekugara kwemwedzi+ neyemwaka yese yemitambo mitsvene+ yaJehovha, neyakabva kumunhu wese akapa Jehovha mupiro achizvidira.+ 6 Kubvira pazuva rekutanga remwedzi wechi7+ vakatanga kupa Jehovha zvibayiro zvinopiswa, kunyange zvazvo faundesheni yetemberi yaJehovha yakanga isati yavakwa.
7 Vakapa vanhu vaicheka matombo+ nemhizha+ mari, uye vakapa vaSidhoni nevaTire zvekudya nezvekunwa nemafuta, nekuti ivo vaiunza matanda emisidhari nemugungwa kubva kuRebhanoni vachiaendesa kuJopa,+ zvichibva pamvumo yavakapiwa naMambo Koreshi wePezhiya.+
8 Mugore rechipiri kubva pavakauya kuimba yaMwari wechokwadi kuJerusarema, mumwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waSheatiyeri, Jeshua mwanakomana waJehozadhaki nedzimwe hama dzavo dzese, vapristi nevaRevhi, nevaya vese vakanga vauya kuJerusarema vachibva kuutapwa,+ vakatanga basa; vakagadza vaRevhi vaiva nemakore 20 zvichikwira kuti vatungamirire basa reimba yaJehovha. 9 Saka Jeshua nevanakomana vake nehama dzake, naKadmieri nevanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakabatana kuti vatungamirire vaya vaiita basa muimba yaMwari wechokwadi, pamwe chete nevanakomana vaHenadhadhi,+ vanakomana vavo nehama dzavo, ivo vaRevhi.
10 Vavaki pavakavaka faundesheni yetemberi yaJehovha,+ vapristi avo vainge vakapfeka zvipfeko zvebasa, vaine mabhosvo,+ uye vaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, avo vaiva nezviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, vakabva vasimuka kuti varumbidze Jehovha maererano nezvakanga zvarayirwa naMambo Dhavhidhi weIsraeri.+ 11 Vakabva vatanga kuimba vachidairana+ vachirumbidza nekuonga Jehovha, “nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji kuna Israeri runogara nekusingaperi.”+ Vanhu vese vakabva vashevedzera nenzwi guru vachirumbidza Jehovha nekuti faundesheni yeimba yaJehovha yakanga yavakwa. 12 Vapristi vakawanda nevaRevhi nevakuru vedzimba dzemadzibaba, vaya vainge vakwegura uye vakaona imba yekare,+ vakachema nenzwi guru pavakaona faundesheni yeimba iyi ichivakwa, asi vamwe vanhu vakawanda vaishevedzera nemanzwi ari pamusoro vachifara.+ 13 Saka vanhu vakanga vasingagoni kusiyanisa kushevedzera kwemufaro nekwekuchema, nekuti vanhu vaishevedzera nemanzwi ari pamusoro zvekuti vainzwika kure chaizvo.
4 Vavengi vevaJudha nevaBhenjamini+ pavakanzwa kuti vaya vakanga vadzoka kubva kuutapwa+ vari kuvakira Jehovha Mwari waIsraeri temberi, 2 vakabva vakurumidza kuenda kuna Zerubhabheri nekuvakuru vedzimba dzemadzibaba vakati kwavari: “Ngativakei tese; nekuti nesuwo tinonamata* Mwari+ wenyu semi, uye tiri kubayira zvibayiro kwaari kubvira pamazuva aMambo Esari-hadhoni+ weAsiriya, uyo akatiunza kuno.”+ 3 Asi Zerubhabheri naJeshua nevamwe vakuru vese vedzimba dzemadzibaba aIsraeri vakati kwavari: “Hamuna kodzero yekuvaka imba yaMwari wedu pamwe chete nesu;+ tichaivakira Jehovha Mwari waIsraeri tega sezvatakarayirwa naMambo Koreshi, mambo wePezhiya.”+
4 Vanhu vemunyika yacho vairamba vachinetesa vanhu* veJudha uye vachivaodza mwoyo kuti varege kuvaka.+ 5 Vakabhadhara vanachipangamazano kuti vavhiringidze zvirongwa zvavo+ mazuva ese aMambo Koreshi wePezhiya kusvikira pakutonga kwaMambo Dhariyasi+ wePezhiya. 6 Pakatanga Ahashivheroshi kutonga, vakanyora mashoko ekupomera vagari vemuJudha nemuJerusarema. 7 Uye mumazuva aMambo Atashasta wePezhiya, Bhishramu, Mitredhati, Tabheeri, nevamwe vake vese vakanyorera Mambo Atashasta tsamba; vakaiisa mumutauro wechiAramaiki,+ vachiinyora nemabhii echiAramaiki.*
8 * Rehumu jinda guru rehurumende naShimshai uyo aiva munyori vakanyorera Mambo Atashasta tsamba inotevera vachipomera Jerusarema: 9 (Yaibva kuna Rehumu jinda guru rehurumende naShimshai munyori, nevamwe vavo vese, vatongi nemagavhuna madiki, vanyori, vanhu vekuEreki,+ vaBhabhironi, vagari vemuSusa,+ kureva vaEramu,+ 10 nemamwe marudzi ese akatapwa naAsenapa uyo aiva akakurumbira uye airemekedzwa, akaagarisa mumaguta eSamariya,+ uye mamwe marudzi ese emunharaunda yeMhiri kweRwizi,* uye 11 aya ndiwo mashoko aiva mutsamba yavakamutumira.)
“Kuna Mambo Atashasta, kubva kuvashandi venyu, varume vari munharaunda iri Mhiri kweRwizi: 12 Mambo ngaazive kuti vaJudha vaya vakakwidza kuno vachibva kwamuri vakasvika kuJerusarema. Vari kuvakazve guta riya rekupanduka uye rakaipa, uye vari kupedzisa masvingo+ nekugadziridza faundesheni. 13 Mambo ngaazive kuti kana guta iri rikavakwazve, masvingo aro akapera, havazobhadhari mutero wevanhu, mutero wezvinhu, kana mutero wenzira,+ uye zvichaita kuti nzvimbo dzemadzimambo dzinochengeterwa pfuma dzisawane pfuma. 14 Sezvo tichidya munyu wemumuzinda* uye zvazvisina kunaka kuti tione zvido zvamambo zvichivhiringidzwa, tatumira shoko iri kuti mambo azive zvinhu izvi, 15 kuitira kuti bhuku rezvakaitika remadzitateguru enyu riongororwe.+ Muchaona mubhuku rezvakaitika uye muchaziva kuti guta iri iguta rinopanduka, rinokanganisa madzimambo nematunhu, uye kubvira kare ragara riine vanhu vanopandutsa vanhu. Ndokusaka guta iri rakaparadzwa.+ 16 Tiri kuzivisa mambo kuti kana guta iri rikavakwazve, masvingo aro akapera, hamuzovi nesimba* munharaunda iri Mhiri kweRwizi.”+
17 Mambo akatumira shoko kuna Rehumu jinda guru rehurumende naShimshai munyori wacho nevamwe vavo vese vaigara muSamariya nekunharaunda yese yeMhiri kweRwizi achiti:
“Kwaziwai! 18 Gwaro ramakatitumira raverengwa zvakajeka* pamberi pangu. 19 Ndakapa murayiro pachibva paitwa ongororo, uye zvakaonekwa kuti kubvira kare guta racho raimukira madzimambo, richipanduka uye raiva nevanhu vairwisa madzimambo.+ 20 Jerusarema raiva nemadzimambo ane simba aitonga nharaunda yese yeMhiri kweRwizi, aibhadharwa mutero wevanhu, mutero wezvinhu, nemutero wenzira. 21 Saka rayirai kuti varume ava vamire kushanda, kuti guta racho rirege kuvakwazve kusvikira ndapa murayiro. 22 Ivai nechokwadi chekuti maona zvekuita panyaya iyi kuti zvido zvamambo zvirege kuramba zvichivhiringidzwa.”+
23 Pashure pekunge gwaro raMambo Atashasta raverengwa pamberi paRehumu naShimshai munyori nevamwe vavo, ivo vakabva vangonanga kuJerusarema kuvaJudha, vakavamisa zvechisimba. 24 Panguva iyoyo ndipo pakamira basa paimba yaMwari yaiva muJerusarema; uye rakaramba rakamira kusvikira mugore rechipiri rekutonga kwaMambo Dhariyasi wePezhiya.+
5 Zvino muprofita Hagai+ nemuprofita Zekariya+ muzukuru waIdho+ vakaprofita kuvaJudha vaiva muJudha nemuJerusarema, muzita raMwari waIsraeri uyo aiva pavari. 2 Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri, naJeshua+ mwanakomana waJehozadhaki ndipo pavakabva vatanga kuvakazve imba yaMwari+ yaiva muJerusarema; uye vaprofita vaMwari vaiva navo, vachivatsigira.+ 3 Panguva iyoyo, Tatenai gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi* naShetari-bhozenai nevamwe vavo vakauya kwavari, vakavabvunza kuti: “Ndiani akakupai mvumo yekuti muvake imba iyi uye yekuti mupedze chivakwa ichi?”* 4 Vakabva vavabvunza kuti: “Varume vari kuvaka chivakwa ichi ndivanaani?” 5 Asi Mwari aichengeta vakuru* vevaJudha,+ uye havana kuvamisa kusvikira patozotumirwa shoko kuna Dhariyasi uye padzoswa gwaro nezvenyaya iyi.
6 Aya ndiwo mashoko aiva mutsamba yakatumirwa naTatenai, gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi naShetari-bhozenai nevamwe vake, magavhuna madiki enharaunda yeMhiri kweRwizi, kuna Mambo Dhariyasi; 7 vakamutumira shoko, uye izvi ndizvo zvavakanyora:
“Kuna Mambo Dhariyasi:
“Rugare ngaruve nemi! 8 Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha kuimba yaMwari mukuru, uye imba yacho iri kuvakwa nemazitombo ari kukungurutswa achiiswa munzvimbo yawo, uye mumadziro acho muri kuiswa matanda. Vanhu vacho vari kuita basa nemwoyo wese uye riri kubudirira nekuti vari kushanda chaizvo. 9 Takabva tabvunza vakuru vavo kuti: ‘Ndiani akakupai mvumo yekuti muvake imba iyi uye yekuti mupedze chivakwa ichi?’*+ 10 Takavabvunzawo mazita avo kuti tikuudzei, kuti tinyore mazita evarume vari kutungamirira.
11 “Vakatipindura kuti: ‘Tiri vashumiri vaMwari wedenga nenyika, uye tiri kuvakazve imba yakavakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa ikapedzwa namambo mukuru weIsraeri.+ 12 Zvisinei, nemhaka yekuti madzibaba edu akagumbura Mwari wedenga,+ akabva avaisa mumaoko aMambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi, muKadheya, uyo akaputsa imba iyi,+ akatapa vanhu achivaendesa kuBhabhironi.+ 13 Kunyange zvakadaro, mugore rekutanga raMambo Koreshi weBhabhironi, Mambo Koreshi akarayira kuti imba iyi yaMwari ivakwezve.+ 14 Uyewo Mambo Koreshi akabudisa midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari kubva mutemberi yeBhabhironi iyo yakanga yatorwa naNebhukadhinezari mutemberi yemuJerusarema akaiunza kutemberi yeBhabhironi.+ Yakapiwa murume anonzi Sheshbhazari,*+ uyo akaitwa gavhuna naKoreshi.+ 15 Koreshi akati kwaari: “Tora midziyo iyi uende kunoiisa mutemberi iri muJerusarema, uye imba yaMwari ngaivakwezve panzvimbo yayaiva.”+ 16 Sheshbhazari uyu akabva asvika akavaka faundesheni yeimba yaMwari+ iri muJerusarema; uye ichiri kuvakwa kubva ipapo kusvika iye zvino, asi haisati yapera.’+
17 “Kana zvakanaka kuna mambo, zvinyorwa zviri munochengeterwa pfuma yamambo ikoko kuBhabhironi ngazviongororwe, kuti zvizivikanwe kuti ndizvo here kuti Mambo Koreshi akapa murayiro wekuti imba iyoyo yaMwari iri muJerusarema ivakwezve;+ uye zvinenge zvasarudzwa namambo panyaya iyi ngazvitumirwe kwatiri.”
6 Panguva iyoyo Mambo Dhariyasi ndipo paakapa murayiro, uye vakaongorora muimba yaichengeterwa zvinyorwa, maiiswa pfuma muBhabhironi. 2 Pakabva pawanikwa gwaro* munhare* yemuEkibhatana, mudunhu reMedhiya, uye gwaro racho raiva nemashoko ekuti:
3 “Mugore rekutanga raMambo Koreshi, Mambo Koreshi akapa murayiro pamusoro peimba yaMwari iri muJerusarema achiti:+ ‘Imba yacho ngaivakwezve kuti ive nzvimbo yavachapira zvibayiro, uye faundesheni yayo inofanira kuvakwa; imba yacho inofanira kukwirira nemakubhiti 60,* yakafara makubhiti 60,+ 4 iine mitsara mitatu yemazitombo akakungurutswa achiiswa munzvimbo yawo nemutsara mumwe chete wematanda;+ uye mari yekushandisa ngaibve muimba yamambo.+ 5 Uyewo dzorerai midziyo yeimba yaMwari yegoridhe neyesirivha iyo yakabudiswa naNebhukadhinezari mutemberi yaiva muJerusarema ikaunzwa kuBhabhironi.+ Ngaiiswe munzvimbo yayo mutemberi iri muJerusarema, muimba yaMwari.’+
6 “Saka Tatenai, gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi,* Shetari-bhozenai, nevamwe venyu, magavhuna madiki enharaunda yeMhiri kweRwizi,+ siyanai nenzvimbo iyoyo. 7 Musavhiringa basa reimba iyoyo yaMwari. Gavhuna wevaJudha nevakuru vevaJudha vachavakazve imba iyoyo yaMwari panzvimbo yayaiva. 8 Ndiri kupawo murayiro pamusoro pezvamunofanira kuitira vakuru ava vevaJudha kuti imba iyoyo yaMwari ivakwezve: Varume ava vanofanira kukurumidza kupiwa mari yekushandisa ichitorwa papfuma yeumambo,+ pamutero wakabva munharaunda iri Mhiri kweRwizi kuti vaenderere mberi nebasa vasingamiri.+ 9 Chero zvinenge zvichidiwa, ingava mikono midiki yemombe+ uyewo makondohwe+ nemakwayana+ ezvibayiro zvinopisirwa Mwari wedenga, gorosi,+ munyu,+ waini,+ nemafuta,+ sezvinenge zvataurwa nevapristi vari muJerusarema, ngavarambe vachizvipiwa zuva nezuva pasina kukundikana, 10 kuti varambe vachipa mipiro inofadza Mwari wedenga uye vanyengeterere upenyu hwamambo nevanakomana vake.+ 11 Ndapawo murayiro wekuti kana pakava nemunhu anoputsa murau uyu, bango richazvomorwa paimba yake, iye osimudzwa oturikwa pariri, uye imba yake ichaitwa chimbuzi chevanhu vese* nekuda kwemhosva iyi. 12 Mwari uyo akaita kuti zita rake rigare imomo+ ngaaparadze chero mambo nevanhu vanosimudza ruoko kuti vatyore murayiro uyu, voparadza imba iyoyo yaMwari iri muJerusarema. Ini Dhariyasi, ndapa murayiro uyu. Ngazviitwe nekukurumidza.”
13 Tatenai, gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi, Shetari-bhozenai,+ nevamwe vavo, vakabva vakurumidza kuita zvese zvakanga zvarayirwa naMambo Dhariyasi. 14 Saka vakuru vevaJudha vakaramba vachivaka,+ basa richienderera mberi, vachisimbiswa nekuprofita kwaiitwa naHagai+ naZekariya+ muzukuru waIdho; uye vakapedza kuivaka sezvakarayirwa naMwari waIsraeri+ uye sezvakarayirwa naKoreshi+ naDhariyasi+ naMambo Atashasta+ wePezhiya. 15 Vakapedza imba yacho pazuva rechitatu remwedzi waAdhari,* mugore rechi6 rekutonga kwaMambo Dhariyasi.
16 VaIsraeri, vapristi nevaRevhi+ nevaya vese vaimbova nhapwa vakabva vakumikidza imba iyi yaMwari vachifara. 17 Vakapa mikono 100 yemombe, makondohwe 200, nemakwayana 400, zvekukumikidza nazvo imba yaMwari, uye nhongo 12 kuti dzive chibayiro chechivi chevaIsraeri vese, zvichienderana nekuwanda kwemadzinza aIsraeri.+ 18 Vakaisa vapristi mumapoka avo uye vaRevhi mumapoka avo, kuti vaite basa raMwari muJerusarema,+ sezvakanyorwa mubhuku raMozisi.+
19 Vaya vaimbova nhapwa vakabva vachengeta Paseka pazuva rechi14 remwedzi wekutanga.+ 20 Vapristi nevaRevhi, vese zvavo, vakanga vazvichenesa,+ saka vese vakanga vakachena; vakauraya chibayiro chePaseka vachiitira vaya vese vaimbova nhapwa, nevamwe vapristi, naivowo pachavo. 21 VaIsraeri vakanga vadzoka kubva pakutapwa vakabva vadya chibayiro chacho, pamwe chete nemunhu wese akanga abatana navo uye akanga asiya zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi enyika yacho kuti anamate* Jehovha Mwari waIsraeri.+ 22 Vakaitawo Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso+ kwemazuva manomwe vachifara, nekuti Jehovha akaita kuti vafare uye akanga aita kuti mwoyo wamambo weAsiriya ude kuvaitira zvakanaka,+ zvekuti akavatsigira* pabasa reimba yaMwari wechokwadi, iye Mwari waIsraeri.
7 Pashure pezvinhu izvi, panguva yaitonga Mambo Atashasta+ wePezhiya, Ezra*+ akadzoka. Aiva mwanakomana waSeraya,+ mwanakomana waAzariya, mwanakomana waHirikiya,+ 2 mwanakomana waSharumu, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhu, 3 mwanakomana waAmariya, mwanakomana waAzariya,+ mwanakomana waMerayoti, 4 mwanakomana waZerahiya, mwanakomana waUzai, mwanakomana waBhuki, 5 mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waFiniyasi,+ mwanakomana waEriyezari,+ mwanakomana waAroni+ mutungamiriri wevapristi. 6 Ezra uyu akabva kuBhabhironi uye aiva munyori ainyatsoziva Mutemo waMozisi*+ wakanga wapiwa naJehovha Mwari waIsraeri. Mambo akamuitira zvese zvaakakumbira, nekuti ruoko rwaJehovha Mwari wake rwaiva paari.
7 Vamwe vaIsraeri, vapristi, vaRevhi,+ vaimbi,+ varindi vepamagedhi,+ nevashandi vepatemberi,*+ vakakwidza kuJerusarema mugore rechinomwe raMambo Atashasta. 8 Ezra akasvika kuJerusarema mumwedzi wechishanu, mugore rechinomwe ramambo. 9 Akasimuka kuBhabhironi pazuva rekutanga remwedzi wekutanga, akasvika muJerusarema pazuva rekutanga remwedzi wechishanu, nekuti ruoko rwakanaka rwaMwari wake rwaiva paari.+ 10 Ezra akanga agadzirira mwoyo wake* kuti aone kuti Mutemo waJehovha unotii uye kuti auchengete,+ uye kuti adzidzise mirau yawo nemitongo muIsraeri.+
11 Aya ndiwo mashoko aiva mutsamba yakapiwa naMambo Atashasta kuna Ezra uyo aiva mupristi uye munyori, murume aiva nyanzvi pakudzidza murayiro* waJehovha nemirau yake kuna Israeri:
12 * “Atashasta,+ mambo wemadzimambo, kumupristi Ezra, munyori weMutemo waMwari wedenga: Iva nerugare. 13 Ndapa murayiro wekuti munhu wese ari muumambo hwangu wekuvanhu veIsraeri nevapristi vavo nevaRevhi anoda kuenda newe kuJerusarema ngaaende.+ 14 Nekuti watumwa namambo navanachipangamazano vake vanomwe kuti unoongorora kuti Mutemo waMwari wako wauinawo* uri kutevedzerwa here muJudha nemuJerusarema, 15 uye kuti utore sirivha negoridhe zvakapiwa nekuzvidira namambo navanachipangamazano vake kuna Mwari waIsraeri, uyo anogara muJerusarema, 16 nesirivha yese negoridhe zvaunogamuchira* mudunhu rese reBhabhironi pamwe chete nechipo chinopiwa nevanhu nevapristi vachizvidira kuimba yaMwari wavo iri muJerusarema.+ 17 Uye unofanira kukurumidza kushandisa mari iyi kutenga mikono yemombe,+ makondohwe,+ makwayana,+ pamwe chete nemipiro yazvo yezviyo*+ nemipiro yazvo yezvinwiwa+ uye unofanira kuzvipisira paatari yeimba yaMwari wenyu muJerusarema.
18 “Uye itai chero zvakanaka kwamuri, iwe nehama dzako, muchishandisa sirivha negoridhe zvinenge zvasara, maererano nezvinodiwa naMwari wenyu. 19 Uye midziyo yese yaunopiwa yebasa reimba yaMwari wako unofanira kuiisa pamberi paMwari wako kuJerusarema.+ 20 Zvimwe zvese zvinodiwa paimba yaMwari wako zvaunofanira kupa, uchazvitora munochengeterwa pfuma yamambo.+
21 “Ini Mambo Atashasta ndapa murayiro kuvachengeti vese vepfuma vari munharaunda iri Mhiri kweRwizi,* kuti zvinhu zvese zvamunokumbirwa nemupristi Ezra,+ munyori weMutemo* waMwari wedenga, mupei nekukurumidza, 22 kusvika pamatarenda* 100 esirivha, makori* 100 egorosi, mabhati* 100 ewaini,+ mabhati 100 emafuta,+ nemunyu+ chero waanoda. 23 Zvese zvinorayirwa naMwari wedenga zvine chekuita neimba yaMwari wedenga+ ngazviitwe nekushingaira, kuti vanhu vemuumambo hwamambo nevanakomana vake varege kutsamwirwa.+ 24 Uyewo zivai kuti hazvibvumirwi kubhadharisa mutero wevanhu, mutero wezvinhu,+ kana mutero wenzira kuvapristi chero vapi zvavo nevaRevhi, vaimbi+ nevaya vanoridza zviridzwa, vachengeti vemasuo, vashandi vepatemberi,*+ nevashandi vepaimba iyi yaMwari.
25 “Uye iwe Ezra, maererano neuchenjeri hwawakapiwa naMwari wako,* gadza vaongorori vemhosva nevatongi kuti vatonge vanhu vese vari munharaunda iri Mhiri kweRwizi, vaya vese vanoziva mitemo yaMwari wako; uye munofanira kurayiridza munhu wese asingaizivi.+ 26 Munhu wese asingachengeti Mutemo waMwari wako nemutemo wamambo, anofanira kutongwa nekukurumidza, kungava kutongerwa rufu, kudzingwa, kubhadhariswa mari kana kuiswa mujeri.”
27 Jehovha Mwari wemadzitateguru edu ngaarumbidzwe, uyo aisa pfungwa idzi mumwoyo mamambo kuti anakise imba yaJehovha iri muJerusarema!+ 28 Uye andiratidza rudo rusingachinji pamberi pamambo+ navanachipangamazano vake+ nemachinda ese ane simba amambo. Ndakabva ndashinga* nekuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwaiva pandiri, uye ndakaunganidza varume vaitungamirira pavaIsraeri kuti ndiende navo.
8 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba avo uye ndiko kunyorwa kwakaitwa mhuri dzevaya vandakabuda navo muBhabhironi ndikaenda navo panguva yaitonga Mambo Atashasta:+ 2 pavanakomana vaFiniyasi,+ Geshomu; pavanakomana vaItamari,+ Dhanieri; pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi; 3 pavanakomana vaShekaniya uye pavanakomana vaParoshi, Zekariya, uyo akanyorwa pamwe chete nevanhurume 150; 4 pavanakomana vaPahati-moabhi,+ Erieho-enai uyo aiva nevanhurume 200, ari mwanakomana waZerahiya; 5 pavanakomana vaZatu,+ Shekaniya uyo aiva nevanhurume 300, ari mwanakomana waJahazieri; 6 pavanakomana vaAdhini,+ Ebhedhi uyo aiva nevanhurume 50, ari mwanakomana waJonatani; 7 pavanakomana vaEramu,+ Jeshaya uyo aiva nevanhurume 70, ari mwanakomana waAtariya; 8 pavanakomana vaShefatiya,+ Zebhadhiya uyo aiva nevanhurume 80, ari mwanakomana waMikaeri; 9 pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya uyo aiva nevanhurume 218, ari mwanakomana waJehieri; 10 pavanakomana vaBhani, Sheromiti uyo aiva nevanhurume 160, ari mwanakomana waJosifiya; 11 pavanakomana vaBhebhai,+ Zekariya uyo aiva nevanhurume 28, ari mwanakomana waBhebhai; 12 pavanakomana vaAzgadhi,+ Johanani uyo aiva nevanhurume 110, ari mwanakomana waHakatani; 13 pavanakomana vaAdhonikamu,+ vaya vakanga vari vekupedzisira, mazita avo aiva: Erifereti, Jeyieri, naShemaya, uye vaiva nevanhurume 60; 14 uye pavanakomana vaBhigvhai,+ Utai naZabhudhe, avo vaiva nevanhurume 70.
15 Ndakavaunganidza parwizi runouya kuAhavha,+ uye takadzika musasa ipapo kwemazuva matatu. Asi pandakaongorora vanhu nevapristi, hapana muRevhi wandakawana ipapo. 16 Saka ndakashevedza Eriyezeri, Arieri, Shemaya, Erinatani, Jaribhi, Erinatani, Natani, Zekariya, naMeshuramu, varume vaitungamirira, uyewo Joyaribhi naErinatani, avo vaiva varayiridzi. 17 Ndakabva ndavapa murayiro pamusoro paIdho mutungamiriri wemunzvimbo inonzi Kasifiya. Ndakavati vaudze Idho nehama dzake, vashandi vepatemberi* vaiva muKasifiya, kuti vauye nevashumiri veimba yaMwari wedu. 18 Sezvo ruoko rwakanaka rwaMwari wedu rwaiva patiri, vakauya nemurume akangwara ainzi Sherebhiya+ wekuvanakomana vaMari+ muzukuru waRevhi mwanakomana waIsraeri; vakauya naye nevanakomana vake nehama dzake, varume 18; 19 naHashabhiya, uyo aiva naJeshaya wekuvaMerari,+ nehama dzake nevanakomana vadzo, varume 20. 20 Uye paiva nevamwe vashandi vepatemberi 220, vaya vakanga vapiwa basa naDhavhidhi nemachinda rekubatsira vaRevhi uye vese zvavo vakanga vasarudzwa nemazita avo.
21 Ndakabva ndazivisa kuti titsanye ipapo parwizi rwaAhavha, kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu, kuti timukumbire kuti atitungamirire parwendo rwedu, uye atidzivirire isu nevana vedu nezvinhu zvedu zvese. 22 Ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi nevatasvi vemabhiza kuti vatidzivirire pavavengi munzira, nekuti takanga tati kuna mambo: “Ruoko rwakanaka rwaMwari wedu ruri pane vese vanomutsvaga,+ asi simba rake nekutsamwa kwake zvinorwisana nevaya vese vanomusiya.”+ 23 Saka takatsanya tikakumbira kuna Mwari wedu pamusoro peizvi, uye akanzwa kuteterera kwedu.+
24 Ndakabva ndatsaura vakuru 12 kubva pavakuru vevapristi, vaiti, Sherebhiya, Hashabhiya,+ pamwe chete nehama dzavo gumi. 25 Ndakabva ndavayerera sirivha negoridhe nemidziyo, mupiro weimba yaMwari wedu wakanga wapiwa namambo navanachipangamazano vake nemachinda ake nevaIsraeri vese vakanga varipo.+ 26 Ndakavayerera ndikaisa mumaoko avo matarenda* 650 esirivha, midziyo yesirivha 100 inorema matarenda maviri, matarenda 100 egoridhe, 27 ndiro diki 20 dzegoridhe dzinokosha madhariki* 1 000, nemidziyo miviri yemhangura tsvuku yakanaka uye yaipenya, iyo inokosha segoridhe.
28 Ndakabva ndati kwavari: “Muri vatsvene kuna Jehovha+ uye midziyo yacho mitsvene, uye sirivha negoridhe racho mupiro wapiwa nekuzvidira kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru enyu. 29 Nyatsozvichengetai kusvikira mazviyera pamberi pevakuru vevapristi nevaRevhi nemachinda edzimba dzemadzibaba aIsraeri muJerusarema,+ mudzimba dzekudyira dzeimba yaJehovha.” 30 Uye vapristi nevaRevhi vakatora sirivha negoridhe nemidziyo zvavakanga vayererwa, kuti vaende nazvo kuJerusarema kuimba yaMwari wedu.
31 Takazobva parwizi rwaAhavha+ pazuva rechi12 remwedzi wekutanga+ kuti tiende kuJerusarema, uye ruoko rwaMwari wedu rwaiva nesu, uye akatinunura paruoko rwemuvengi nepavanhu vaihwandira munzira. 32 Saka takasvika muJerusarema+ tikazorora kwemazuva matatu. 33 Pazuva rechina takayera sirivha negoridhe nemidziyo muimba yaMwari wedu+ tikazvipa Meremoti+ mwanakomana wemupristi Urija uyo aiva naEriyezari mwanakomana waFiniyasi, uye vaivawo nevaRevhi vaiti Jozabhadhi+ mwanakomana waJeshua naNoadhiya mwanakomana waBhinui.+ 34 Zvinhu zvacho zvese zvakaverengwa zvikayerwa, uye uremu hwazvo zvese hwakanyorwa. 35 Vaya vakabva kuutapwa, vaimbova nhapwa, vakapa zvibayiro zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri, mikono 12 yemombe+ yevaIsraeri vese, makondohwe 96,+ makwayana makono 77, nenhongo 12+ kuti chive chibayiro chechivi; zvese izvi zvaiva chibayiro chinopiswa kuna Jehovha.+
36 Takabva tapa machinda amambo+ nemagavhuna* enharaunda yeMhiri kweRwizi*+ zvakatemwa namambo, ivo vachibva vapa rubatsiro kuvanhu nekuimba yaMwari wechokwadi.+
9 Zvinhu izvi pazvakangoitwa, machinda akauya kwandiri, akati: “Vanhu veIsraeri nevapristi nevaRevhi havana kuzviparadzanisa nemarudzi enyika uye netsika dzawo dzinosemesa,+ tsika dzevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhi, vaIjipiti,+ nevaAmori.+ 2 Vakatora vamwe vanasikana vavo kuti vave madzimai avo neevanakomana vavo.+ Zvino ivo, rudzi* rutsvene,+ vavhengana nemarudzi enyika dzacho.+ Machinda nevatevedzeri vevatongi ndivo vanotova pamberi pamhosva iyi yekusatendeka.”
3 Pandakangozvinzwa, ndakabvarura nguo yangu yemukati neyekunze, ndikadzura rimwe bvudzi mumusoro mangu nendebvu dzangu, uye ndakagara pasi ndichinetseka chaizvo. 4 Vanhu vese vairemekedza mashoko* aMwari waIsraeri vakabva vandiunganira nemhaka yekusatendeka kwevanhu vainge vadzoka kuutapwa. Vakandiunganira pandakanga ndakagara ndichinetseka kusvikira yava nguva yemupiro wezviyo* wemanheru.+
5 Panguva yemupiro wezviyo wemanheru+ ndakasimuka pandainetseka ndiri, ndakapfeka nguo dzakabvaruka, yemukati neyekunze, uye ndakapfugama ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu. 6 Uye ndakati: “Haiwa Mwari wangu, ndiri kunyara uye ndiri kushaya kuti ndotarisa sei kwamuri, haiwa Mwari wangu, nekuti kukanganisa kwedu kwawanda pamisoro yedu uye mhosva dzedu dzaturikidzana kusvika kudenga.+ 7 Mhosva yedu ihombe kubvira pamazuva emadzitateguru edu kusvika nhasi;+ uye kukanganisa kwedu kwakaita kuti isu, nemadzimambo edu, nevapristi vedu, tiiswe muruoko rwemadzimambo edzimwe nyika, tiurayiwe nebakatwa,+ tiendeswe kuutapwa,+ tipambwe,+ uye tinyadziswe, sezvazviri nhasi.+ 8 Asi pari zvino nyasha dzinobva kuna Jehovha Mwari wedu dzauya kwenguva pfupi paaita kuti pave nevashoma vanopukunyuka uye nekutipa kwaaita nzvimbo yakasimba* panzvimbo yake tsvene,+ kuti tifare chaizvo, haiwa Mwari wedu, uye kuti atizorodze zvishoma pauranda hwedu. 9 Nekuti kunyange zvazvo tiri varanda,+ Mwari wedu haana kutisiya muuranda hwedu; asi akatiratidza rudo rusingachinji pamberi pemadzimambo ePezhiya,+ kuti atimutsidzire kuti tisimudze imba yaMwari wedu,+ tivakezve pamatongo ayo uye kuti atipe rusvingo rwematombo* muJudha nemuJerusarema.
10 “Zvino tichatii pashure peizvi haiwa Mwari wedu? Nekuti takasiya mirayiro yenyu 11 yamakatipa muchishandisa vashumiri venyu vaprofita, muchiti: ‘Nyika yamuri kupinda mairi kuti muitore inyika isina kuchena nemhaka yekusachena kwemarudzi enyika dzacho, nemhaka yetsika dzawo dzinosemesa dzaakaizadza nadzo nekusachena kwawo kubva kwainotangira kusvika kwainoperera.+ 12 Saka musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo, uyewo musagamuchira vanasikana vavo kuti mupe vanakomana venyu;+ uye musatombovabatsira kuva nerugare kana kuti vabudirire,+ kuitira kuti muve nesimba uye kuti mudye zvakanaka zvenyika yacho uye muitore kuti ive yevanakomana venyu nekusingaperi.’ 13 Uye pashure pezvese zvakatiwira nemhaka yemabasa edu akaipa uye mhosva yedu huru (nekuti imi, haiwa Mwari wedu, hamuna kutiitira zvinoenderana nekutadza kwedu,+ uye makaita kuti isu tiri pano tipukunyuke)+ 14 toputsazve here mirayiro yenyu tichiroorerana nemarudzi ane tsika idzi dzinosemesa?+ Izvi hazviiti here kuti mutitsamwire zvikuru zvekusvika pakutiparadza zvachose, poshaya vashoma kana kuti mumwe chete anopukunyuka? 15 Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, imi makarurama,+ nekuti vamwe vedu tichiripo nanhasi. Iye zvino tiri pamberi penyu isu vatadzi, kunyange zvazvo zvisingabviri kumira pamberi penyu nezvatiri izvi.”+
10 Ezra paakanga achinyengetera+ nekureurura, achichema uye akazvambarara pamberi peimba yaMwari wechokwadi, boka guru revaIsraeri, varume nevakadzi nevana, rakamuunganira, nekuti vanhu vaichema chaizvo. 2 Shekaniya mwanakomana waJehieri+ wekuvanakomana vaEramu+ akabva ati kuna Ezra: “Takaita zvisina kutendeka kuna Mwari wedu patakaroora* vakadzi vanobva kumarudzi emunyika dzakatipoteredza.+ Zvisinei, pachiine tariro kuvaIsraeri. 3 Saka ngatiitei sungano naMwari wedu+ kuti tidzinge madzimai ese nevana vavakabereka, maererano nemurayiro waJehovha newevaya vanoremekedza murayiro* waMwari wedu.+ Ngatiitei zvinoenderana neMutemo. 4 Simuka, nekuti ndiwe unofanira kuita izvi, uye isu tinewe. Simba uone zvekuita.”
5 Ezra akabva asimuka, akaita kuti vakuru vevapristi, vaRevhi, nevaIsraeri vese vaite mhiko yekuita zvakanga zvataurwa.+ Saka vakaita mhiko. 6 Ezra akabva asimuka pamberi peimba yaMwari wechokwadi akaenda kuimba yekudyira yaJehohanani mwanakomana waEriyashibhi. Kunyange zvazvo akaenda ikoko, haana kudya kana kunwa mvura, nekuti akanga achichema nemhaka yekusatendeka kwevanhu vakatapwa.+
7 Vakabva vazivisa muJudha mese nemuJerusarema kuti vese vaimbova nhapwa vaungane kuJerusarema; 8 uye maererano nezvakasarudzwa nemachinda nevakuru, munhu wese aizorega kuuya mumazuva matatu, aizotorerwa zvinhu zvake zvese uye aizodzingwa paungano yevanhu vakatapwa.+ 9 Saka varume vese vekwaJudha nevekwaBhenjamini vakaungana kuJerusarema mumazuva matatu, kureva mumwedzi wechi9 pazuva rechi20 remwedzi. Vanhu vese vakanga vakagara pachivanze cheimba yaMwari wechokwadi, vachidedereswa nenyaya yacho uye nemvura zhinji yainaya.
10 Mupristi Ezra akabva asimuka akati kwavari: “Makaita zvisina kutendeka pamakaroora vakadzi vekune dzimwe nyika,+ saka maita kuti mhosva yevaIsraeri iwedzere. 11 Reururai kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru enyu muite zvaanoda. Paradzanai nemarudzi enyika nemadzimai aya ekune dzimwe nyika.”+ 12 Ungano yese yakabva yapindura nenzwi guru ichiti: “Tinofanira kuita sezvamataura chaizvo. 13 Zvisinei, pane vanhu vakawanda, uye tiri mumwaka wekunaya kwemvura. Hazviiti kumira panze, uye nyaya yacho haizotori zuva rimwe chete kana kuti maviri, nekuti takapanduka zvisingaiti panyaya iyi. 14 Saka tapota, machinda edu ngaamiririre ungano yese;+ uye vese vari mumaguta edu vakaroora vakadzi vekune dzimwe nyika ngavauye panguva ichasarudzwa, pamwe chete nevakuru nevatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira tabvisa kutsamwirwa kukuru kwatakaitwa naMwari wedu panyaya iyi.”
15 Zvisinei, Jonatani mwanakomana waAsaheri naJazeya mwanakomana waTikvha vakapikisana nazvo, uye vakatsigirwa nevaRevhi vaiti Meshuramu naShabhetai.+ 16 Asi vanhu vaimbova nhapwa vakaita zvakanga zvabvumiranwa; uye mupristi Ezra nevakuru vedzimba dzemadzibaba avo, vese vainge vakanyorwa nemazita, vakaungana pavo vega pazuva rekutanga remwedzi wechi10 kuti vaongorore nyaya yacho; 17 uye pazuva rekutanga remwedzi wekutanga vakapedza nevarume vese vakanga varoora vakadzi vekune dzimwe nyika. 18 Uye zvakaonekwa kuti vamwe vanakomana vevapristi vakanga varoora vakadzi vekune dzimwe nyika:+ pavanakomana vaJeshua+ mwanakomana waJehozadhaki nehama dzake, Maaseya, Eriyezeri, Jaribhi, naGedhariya. 19 Asi vakavimbisa kuti vachadzinga madzimai avo, uye sezvo vaiva nemhosva, vaizopa gondohwe remhosva yavo.+
20 Pavanakomana vaImeri+ paiva naHananai naZebhadhiya; 21 pavanakomana vaHarimu,+ Maaseya, Eriya, Shemaya, Jehieri, naUziya; 22 pavanakomana vaPashuri,+ Erioenai, Maaseya, Ishmaeri, Netaneri, Jozabhadhi, naEreasa. 23 PavaRevhi paiva naJozabhadhi, Shimei, Keraya (kureva Kerita), Petahiya, Judha, naEriyezeri; 24 pavaimbi, Eriyashibhi; uye pavarindi vepamagedhi, Sharumu, Teremu, naUrai.
25 PavaIsraeri, pavanakomana vaParoshi+ paiva naRamiya, Iziya, Marikija, Mijamini, Eriyezari, Marikija, naBhenaya; 26 pavanakomana vaEramu,+ Mataniya, Zekariya, Jehieri,+ Abdhi, Jeremoti, naEriya; 27 pavanakomana vaZatu,+ Erioenai, Eriyashibhi, Mataniya, Jeremoti, Zabhadhi, naAziza; 28 pavanakomana vaBhebhai,+ Jehohanani, Hananiya, Zabhai, naAtrai; 29 pavanakomana vaBhani, Meshuramu, Maruki, Adhaya, Jashubhi, Sheari, naJeremoti; 30 pavanakomana vaPahati-moabhi,+ Adna, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Mataniya, Bhezareri, Bhinui, naManase; 31 pavanakomana vaHarimu,+ Eriyezeri, Ishija, Marikija,+ Shemaya, Shimeoni, 32 Bhenjamini, Maruki, naShemariya; 33 pavanakomana vaHashumu,+ Matenai, Matataa, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase, naShimei; 34 pavanakomana vaBhani, Maadhai, Amramu, Ueri, 35 Bhenaya, Bhedheya, Keruhi, 36 Vhaniya, Meremoti, Eriyashibhi, 37 Mataniya, Matenai, naJaasu; 38 pavanakomana vaBhinui, Shimei, 39 Sheremiya, Natani, Adhaya, 40 Makinadhebhai, Shashai, Sharai, 41 Azareri, Sheremiya, Shemariya, 42 Sharumu, Amariya, naJosefa; 43 uye pavanakomana vekuNebho, Jeyieri, Matitiya, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joeri, naBhenaya. 44 Vese ava vakanga vatora madzimai ekune dzimwe nyika,+ uye vakadzinga madzimai avo pamwe chete nevanakomana vavo.+
Dzimwe shanduro dzinoti, “uyo ari muJerusarema.”
ChiHeb., “varume venzvimbo yake.”
ChiHeb., “mweya.”
ChiHeb., “vakasimbisa maoko avo.”
Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
Kana kuti “vakarambidzwa kuva vapristi vachinzi havana kuchena.”
Kana kuti “muTishata,” zita rebasa rechiPezhiya ragavhuna wedunhu.
Kana kuti “vaimise.”
Rinowanzonzi rakaenzana nedhariki regoridhe rekuPezhiya rairema magiramu 8,4. Harisi iro drakema remuMagwaro echiGiriki. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
MuMagwaro echiHebheru, maina rakaenzana nemagiramu 570. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “nevaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
ChiHeb., “nevaIsraeri vese.”
ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”
ChiHeb., “tinotsvaga.”
ChiHeb., “vachinetesa maoko evanhu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “yakanyorwa muchiAramaiki ichibva yaiswa mune mumwe mutauro.”
ChiAramaiki ndicho chakatanga kushandiswa pakanyorwa Ezr 4:8 kusvika ku6:18.
Kana kuti “eMhiri kwaYufratesi.”
Kana kuti “tichitambira mari inobva mumuzinda.”
ChiAram., “nemugove.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “raturikirwa uye raverengwa.”
Kana kuti “weMhiri kwaYufratesi.”
Kana kuti “matanda aya.”
ChiAram., “ziso raMwari wavo raiva pavakuru.”
Kana kuti “matanda aya.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Mamita angasvika 26,7. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “weMhiri kwaYufratesi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo inorasirwa marara; murwi wendove.”
ChiHeb., “atsvage.”
ChiHeb., “akasimbisa maoko avo.”
Kureva kuti “Rubatsiro.”
Kana kuti “uye aikopa Mutemo waMozisi neunyanzvi.”
Kana kuti “nevaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
Kana kuti “akanga azvipira mumwoyo make.”
Kana kuti “aikopa mashoko emurayiro.”
ChiAramaiki ndicho chakatanga kushandiswa pakanyorwa Ezr 7:12 kusvika ku7:26.
ChiAram., “uri muruoko rwako.”
ChiAram., “zvaunowana.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “Mhiri kwaYufratesi.”
Kana kuti “uyo anokopa Mutemo.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Bhati rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “vaNetinimu.” ChiAram., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
ChiAram., “maererano neuchenjeri hwaMwari wako huri muruoko rwako.”
Kana kuti “ndazvisimbisa.”
Kana kuti “vaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dhariki raiva mari yegoridhe yekuPezhiya. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Mumutauro wakatanga kushandiswa, pano paiva nezita rekuPezhiya rinoreva kuti “vanochengetedza umambo” zvichireva magavhuna ematunhu eUmambo hwePezhiya.
Kana kuti “eMhiri kwaYufratesi.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “vaidedereswa nemashoko.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “nekutipa kwaaita hoko.”
Kana kuti “rusvingo rwekudzivirira.”
Kana kuti “nekupinza kwatakaita mudzimba dzedu.”
ChiHeb., “vanodedereswa nemurayiro.”