RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 1 Madzimambo 1:1-22:53
  • 1 Madzimambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 Madzimambo
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo

BHUKU REKUTANGA REMADZIMAMBO

1 Mambo Dhavhidhi akanga akwegura,+ ava nemakore* akawanda uye kunyange zvazvo vaimufukidza nemachira, akanga asisadziyirwe. 2 Saka varanda vake vakati kwaari: “Ishe wangu mambo ngaatsvagirwe musikana mhandara kuti ashandire mambo achimuchengeta. Acharara mumaoko enyu kuti ishe wangu mambo adziyirwe.” 3 Vakatsvaga musikana akanaka munharaunda yese yeIsraeri, vakawana Abhishagi+ wekuShunemi,+ vakapinda naye maiva namambo. 4 Musikana wacho akanga akanaka chaizvo, uye akava mushandi wamambo achimuchengeta, asi mambo haana kurara naye semukadzi wake.

5 Munguva iyi, Adhonija+ mwanakomana waHagiti akanga achizvikwidziridza, achiti: “Ndini ndichava mambo!” Akatsvaga ngoro nevatasvi vemabhiza nevarume 50 kuti vamhanye vari mberi kwake.+ 6 Asi baba vake havana kumbobvira vamubvunza kuti:* “Uri kuzviitirei?” Aivawo nechimiro chakanaka chaizvo, uye akazoberekwa Absaromu atoberekwa. 7 Akarangana naJoabhi mwanakomana waZeruya nemupristi Abhiyatari,+ uye vakati vaizobatsira Adhonija vachimutsigira.+ 8 Asi mupristi Zadhoki,+ naBhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, nemuprofita Natani,+ naShimei,+ naRei, nevarwi vaDhavhidhi vaiva nesimba+ havana kutsigira Adhonija.

9 Adhonija akazobayira+ makwai, mombe, nemhuka dzakakodzwa pedyo nedombo reZohereti riri pedyo neEni-rogeri, uye akakoka vanin’ina vake vese, ivo vanakomana vamambo, nevarume vese veJudha, ivo varanda vamambo. 10 Asi haana kukoka muprofita Natani, Bhenaya nevarwi vaiva nesimba, kana munin’ina wake Soromoni. 11 Natani+ akabva ati kuna Bhati-shebha,+ amai vaSoromoni:+ “Hauna kunzwa here kuti Adhonija+ mwanakomana waHagiti ava mambo, asi ishe wedu Dhavhidhi haana chaari kuziva nezvazvo? 12 Uya ndikupe mazano, kuti uzviponese iwe nemwanakomana wako* Soromoni.+ 13 Pinda muna Mambo Dhavhidhi, uti kwaari, ‘Hamusi imi here ishe wangu mambo, makapika kumuranda wenyu muchiti: “Mwanakomana wako Soromoni ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo”?+ Saka nei Adhonija ava mambo?’ 14 Paunenge uchiri kutaura namambo, ini ndichabva ndapinda ndichikutevera, uye ndichatsigira mashoko ako.”

15 Saka Bhati-shebha akapinda maiva namambo, muimba yake yekurara. Mambo akanga akwegura chaizvo, uye Abhishagi+ muShunemi akanga achishandira mambo. 16 Bhati-shebha akabva apfugama pamberi pamambo akadzikisa musoro wake, mambo achibva ati: “Unoda kukumbirei?” 17 Iye akati: “Ishe wangu, ndimi makapika naJehovha Mwari wenyu kumuranda wenyu muchiti, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo.’+ 18 Asi onai, Adhonija ndiye ava mambo, uye ishe wangu mambo haana chaari kuziva.+ 19 Abayira mikono yemombe, mhuka dzakakodzwa, nemakwai zvakawanda chaizvo, akakoka vanakomana vese vamambo nemupristi Abhiyatari naJoabhi mukuru weuto;+ asi haana kukoka muranda wenyu Soromoni.+ 20 Ishe wangu mambo, maziso evaIsraeri vese ari pamuri, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro cheumambo chashe wangu mambo pashure penyu. 21 Kana mukasadaro, ishe wangu mambo paanongoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, ini nemwanakomana wangu Soromoni tichanzi tiri vapanduki.”

22 Paakanga achiri kutaura namambo, muprofita Natani akabva apinda.+ 23 Mambo akabva audzwa kuti: “Muprofita Natani auya!” Natani akapinda akaenda pamberi pamambo, akapfugama, akadzikisa musoro wake. 24 Natani akabva ati: “Ishe wangu mambo, ko imi makati here, ‘Adhonija ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo’?+ 25 Nekuti nhasi aenda kunobayira+ mikono yemombe, mhuka dzakakodzwa, nemakwai zvakawanda chaizvo, uye akoka vanakomana vese vamambo nevakuru veuto nemupristi Abhiyatari.+ Vari kutodya nekunwa naye, uye vari kuramba vachiti, ‘Mambo Adhonija ngaarambe achirarama!’ 26 Asi haana kundikoka, ini muranda wenyu, kana mupristi Zadhoki, kana Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, kana muranda wenyu Soromoni. 27 Ishe wangu mambo abvumira here kuti izvi zviitwe asina kuudza muranda wenyu kuti ndiani achagara pachigaro cheumambo chashe wangu mambo pashure pake?”

28 Mambo Dhavhidhi akapindura kuti: “Ndishevedzerei Bhati-shebha.” Saka akabva apinda, akamira pamberi pamambo. 29 Mambo akabva aita mhiko achiti: “NaJehovha mupenyu uyo akandinunura* pakutambudzika kwangu kwese,+ 30 sekupika kwandakaita kwauri naJehovha Mwari waIsraeri ndichiti, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo panzvimbo pangu!’ ndizvo zvandichaita nhasi.” 31 Bhati-shebha akabva apfugama pamberi pamambo, akadzikisa musoro wake, akati: “Ishe wangu Mambo Dhavhidhi ngaararame nekusingaperi!”

32 Mambo Dhavhidhi akabva ati: “Ndishevedzerei mupristi Zadhoki, muprofita Natani, naBhenaya+ mwanakomana waJehoyadha.”+ Vakabva vapinda vakanomira pamberi pamambo. 33 Mambo akati kwavari: “Endai nevaranda vashe wenyu, muite kuti mwanakomana wangu Soromoni atasve nyurusi rangu,*+ mudzike naye kuGihoni.+ 34 Mupristi Zadhoki nemuprofita Natani vachamuzodza+ ikoko kuti ave mambo weIsraeri; mubve maridza hwamanda moti, ‘Mambo Soromoni ngaarambe achirarama!’+ 35 Ibvai madzoka muchimutevera, uye achapinda ogara pachigaro changu cheumambo; achava mambo panzvimbo pangu, uye ndichamugadza kuti ave mutungamiriri weIsraeri neweJudha.” 36 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akabva ati kuna mambo: “Ameni! Jehovha Mwari washe wangu mambo ngaaite saizvozvo. 37 Jehovha zvaakava nashe wangu mambo, ngaavewo naSoromoni,+ uye ngaaite kuti chigaro chake cheumambo chive chikuru kupfuura chashe wangu Mambo Dhavhidhi.”+

38 Mupristi Zadhoki, muprofita Natani, Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti+ vakabva vaenda, vakaita kuti Soromoni atasve nyurusi raMambo Dhavhidhi,+ uye vakaenda naye kuGihoni.+ 39 Mupristi Zadhoki akabva atora nyanga yemafuta+ mutende,+ akazodza Soromoni,+ uye vakatanga kuridza hwamanda, vanhu vese vakatanga kushevedzera vachiti: “Mambo Soromoni ngaarambe achirarama!” 40 Pashure paizvozvo, vanhu vese vakakwidza vachimutevera, vachiridza nyere uye vachipembera nemufaro mukuru, zvekuti nyika yakatsemuka neruzha rwavo.+

41 Adhonija nevaya vese vaakanga akoka vakazvinzwa pavakanga vapedza kudya.+ Joabhi paakangonzwa kurira kwehwamanda, akabva ati: “Ko mheremhere iri muguta ndeyei?” 42 Achiri kutaura, Jonatani+ mwanakomana wemupristi Abhiyatari akabva asvika. Adhonija akabva ati: “Pinda, nekuti uri murume akanaka,* uye ndinoziva kuti wauya nemashoko akanaka.” 43 Asi Jonatani akapindura Adhonija achiti: “Aiwa! Ishe wedu Mambo Dhavhidhi agadza Soromoni kuti ave mambo. 44 Mambo aita kuti aende nemupristi Zadhoki, muprofita Natani, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti, uye vaita kuti atasve nyurusi ramambo.+ 45 Mupristi Zadhoki nemuprofita Natani vabva vamuzodza muGihoni kuti ave mambo. Pashure paizvozvo, vakwidza vachibva ikoko vachifara chaizvo, uye guta riri kupemberera. Ndirwo ruzha rwamanzwa. 46 Uyezve, Soromoni agara pachigaro cheumambo. 47 Uyewo, varanda vamambo vapinda kuti vakorokotedze ishe wedu Mambo Dhavhidhi, vachiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive rakanaka kwazvo kupfuura zita renyu, uye ngaaite kuti chigaro chake cheumambo chive chikuru kupfuura chigaro chenyu cheumambo!’ Mambo abva akotamisa musoro wake ari pamubhedha. 48 Uye mambo atiwo, ‘Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo aita kuti mumwe munhu agare pachigaro changu cheumambo nhasi, uye aita kuti maziso angu azvione!’”

49 Vaya vese vakanga vakokwa naAdhonija vakatanga kubvunda nekutya, uye mumwe nemumwe wavo akasimuka akananga kwake. 50 Adhonija akatyawo Soromoni, saka akasimuka akaenda kunobata nyanga dzeatari.+ 51 Soromoni akaudzwa kuti: “Adhonija ari kutya Mambo Soromoni; uye abata nyanga dzeatari, achiti, ‘Mambo Soromoni ngaatange apika kwandiri kuti haazourayi muranda wake nebakatwa.’” 52 Soromoni akabva ati: “Kana akaratidza kuti munhu kwaye, hapana kana bvudzi rake rimwe chete richawira pasi; asi kana pakawanika chinhu chakaipa paari,+ anofanira kufa.” 53 Saka Mambo Soromoni akatuma vanhu kunomuburutsa paatari. Akabva apinda, akakotama pamberi paMambo Soromoni, Soromoni achibva ati kwaari: “Enda zvako kumba kwako.”

2 Nguva yekufa kwaDhavhidhi payakanga yaswedera, akarayira mwanakomana wake Soromoni achiti: 2 “Ndava pedyo nekufa.* Saka simba,+ uratidze kuti uri murume.+ 3 Unofanira kuchengeta zvaunonzi uitire Jehovha Mwari wako kuburikidza nekufamba munzira dzake nekuchengeta mirau yake, mirayiro yake, zvaakatonga, nezviyeuchidzo zvake sekunyorwa kwazvakaitwa muMutemo waMozisi;+ kana ukadaro uchabudirira* pane zvese zvaunoita uye kwese kwaunoenda. 4 Uye Jehovha achaita zvaakavimbisa pamusoro pangu achiti: ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera nzira yavo nekufamba pamberi pangu vakatendeka nemwoyo yavo yese, nemweya* yavo yese,+ hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri.’+

5 “Iwe unonyatsozivawo zvandakaitirwa naJoabhi mwanakomana waZeruya, zvaakaitira vakuru vaviri vemauto aIsraeri, Abhineri+ mwanakomana waNeri naAmasa+ mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akadeura ropa+ iyo isiri nguva yehondo, uye akaisa ropa rehondo pabhandi raiva muchiuno chake nepashangu dzaiva mutsoka dzake. 6 Ita maererano neuchenjeri hwako uye usarega bvudzi rake jena richipinda muGuva*+ murugare.

7 “Asi uratidze rudo rusingachinji kuvanakomana vaBhazirai+ muGiriyedhi, uye vanofanira kuva pakati pevaya vanodya patafura yako, nekuti vakamira neni+ pandakatiza mukoma wako Absaromu.+

8 “Panawo Shimei mwanakomana waGera muBhenjamini wekuBhahurimu. Ndiye akandituka zvinorwadza+ pazuva randakanga ndichienda kuMahanaimu;+ asi paakadzika kuzosangana neni kuJodhani, ndakamupikira naJehovha, ndichiti: ‘Handizokuurayi nebakatwa.’+ 9 Iwe usamurega asina kurangwa,+ nekuti uri murume akachenjera uye unoziva zvaunofanira kumuitira; haufaniri kumurega achipinda muGuva* nekungozvifira ega nekukwegura.”*+

10 Dhavhidhi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa muGuta raDhavhidhi.+ 11 Dhavhidhi akatonga Israeri kwemakore 40. MuHebroni+ akatonga kwemakore 7, uye muJerusarema akatonga kwemakore 33.+

12 Soromoni akabva agara pachigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, uye zvishoma nezvishoma umambo hwake hwakasimbiswa.+

13 Nekufamba kwenguva, Adhonija mwanakomana waHagiti akauya kuna Bhati-shebha, amai vaSoromoni. Vakamubvunza kuti: “Kwakanaka here?” Akapindura kuti: “Kwakanaka.” 14 Akabva ati: “Ndine zvandiri kuda kukuudzai.” Saka vakati: “Taura hako.” 15 Iye akati: “Imi munonyatsoziva kuti umambo hwaifanira kuva hwangu, uye vaIsraeri vese vaitarisira* kuti ndive mambo;+ zvisinei umambo hahuna kuzova hwangu asi hwakaenda kumunin’ina wangu, nekuti Jehovha ndiye akaita kuti huve hwake.+ 16 Asi ndinongova nechikumbiro chimwe chete kwamuri. Musandirambira.” Saka vakati kwaari: “Taura hako.” 17 Iye akabva ati: “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni kuti andipe Abhishagi+ muShunemi kuti ave mudzimai wangu; nekuti haazokurambirii.” 18 Bhati-shebha akabva ati: “Zvakanaka! Ndichanotaura zvawakumbira kuna mambo.”

19 Saka Bhati-shebha akapinda maiva naMambo Soromoni kuti anotaura naye nyaya yaAdhonija. Mambo akasimuka kuti achingure amai vake, akakotama pamberi pavo. Akabva agara pachigaro chake cheumambo akaita kuti amai vamambo vaisirwe chigaro cheumambo, kuti vagare kurudyi rwake. 20 Vakabva vati: “Ndine chikumbiro chidiki kwauri. Usandirambira.” Saka mambo akati kwavari: “Kumbirai henyu, amai vangu; nekuti handizokurambirii.” 21 Ivo vakati: “Adhonija mukoma wako ngaapiwe Abhishagi muShunemi kuti ave mudzimai wake.” 22 Mambo Soromoni akapindura amai vake achiti: “Nei muri kukumbira kuti Adhonija apiwe Abhishagi muShunemi? Chibvai mamukumbirirawo neumambo hwacho+ nekuti mukoma wangu,+ uye ari kutsigirwa nemupristi Abhiyatari naJoabhi+ mwanakomana waZeruya.”+

23 Mambo Soromoni akabva apika naJehovha achiti: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana zvakumbirwa naAdhonija zvikasaita kuti arasikirwe neupenyu hwake.* 24 NaJehovha mupenyu uyo akandigadza+ pachigaro cheumambo chababa vangu Dhavhidhi, akasimbisa utongi hwangu uye akandivakira imba*+ sezvaakavimbisa, nhasi Adhonija anofanira kuurayiwa.”+ 25 Mambo Soromoni akabva angotuma Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, uyo akabva aenda kunorwisa Adhonija akamuuraya.

26 Kumupristi Abhiyatari,+ mambo akati: “Enda kunharaunda yako kuAnatoti!+ Wanga uchifanira kufa, asi nhasi handisi kukuuraya nekuti wakatakura Areka yaChangamire Ishe Jehovha pamberi pababa vangu Dhavhidhi,+ uye nekuti waiva nababa vangu pakutambudzika kwavo kwese.”+ 27 Saka Soromoni akadzinga Abhiyatari pakushumira semupristi waJehovha, kuti azadzise shoko raJehovha raakataura muShiro+ pamusoro peimba yaEri.+

28 Shoko racho parakasvika kuna Joabhi, uyo akanga atsigira Adhonija+ asi asina kutsigira Absaromu,+ Joabhi akatizira kutende raJehovha,+ akabata nyanga dzeatari. 29 Mambo Soromoni akabva audzwa kuti: “Joabhi atizira kutende raJehovha, uye ari pedyo neatari.” Saka Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, achiti: “Enda unomuuraya!” 30 Saka Bhenaya akaenda kutende raJehovha akati kwaari: “Zvanzi namambo, ‘Buda imomo!’” Asi iye akati: “Hazviiti! Ndichafira muno.” Bhenaya akadzoka neshoko kuna mambo achiti: “Izvi ndizvo zvataurwa naJoabhi, uye izvi ndizvo zvaandipindura.” 31 Mambo akabva ati kwaari: “Ita sezvaataura; muuraye umuvige, kuti ubvise pandiri nepaimba yababa vangu ropa rakadeurwa naJoabhi pasina chikonzero.+ 32 Jehovha achamutsiva mhosva yake yekudeura ropa, nekuti baba vangu Dhavhidhi vasingazivi, akarwisa varume vaviri vakarurama uye vakanaka kumupfuura akavauraya nebakatwa, vanoti: Abhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto raIsraeri,+ naAmasa+ mwanakomana waJeteri, mukuru weuto raJudha.+ 33 Mhosva yekufa kwavo ichauya pana Joabhi nepavana vake* nekusingaperi;+ asi kuna Dhavhidhi nekuvana vake* nekuimba yake nekuchigaro chake cheumambo ngakuve nerugare runobva kuna Jehovha nekusingaperi.” 34 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akabva aenda akarwisa Joabhi akamuuraya, uye akavigwa pamba pake murenje. 35 Mambo akabva agadza Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha kuti atungamirire uto panzvimbo paJoabhi, uye mambo akagadza mupristi Zadhoki+ panzvimbo yaAbhiyatari.

36 Mambo akabva ashevedza Shimei,+ akati kwaari: “Vaka imba muJerusarema, ugare imomo; usabuda uchienda kune imwe nzvimbo. 37 Pazuva raunobuda woyambuka Bani reKidroni,+ ziva kuti uchafa. Inenge iri mhosva yako.”* 38 Shimei akapindura mambo achiti: “Zvamataura zvakanaka. Muranda wenyu achaita sezvataurwa nashe wangu mambo.” Saka Shimei akaramba ari muJerusarema kwemazuva akawanda.

39 Asi pakapera makore matatu, varanda vaviri vaShimei vakatiza vakaenda kuna Akishi+ mwanakomana waMaaka mambo weGati. Shimei paakaudzwa kuti: “Varanda vako vari kuGati,” 40 Shimei akabva aisa chigaro padhongi rake, akaenda kunoona Akishi kuGati achitsvaga varanda vake. Shimei paakadzoka kubva kuGati nevaranda vake, 41 Soromoni akaudzwa kuti: “Shimei abuda muJerusarema akaenda kuGati uye adzoka.” 42 Mambo akabva ashevedza Shimei akati kwaari: “Handina here kuita kuti upike naJehovha ndikakuyambira kuti: ‘Pazuva raunobuda muno uchienda kune imwe nzvimbo, ziva kuti uchafa’? Uye hauna here kuti kwandiri, ‘Zvamuri kutaura zvakanaka; ndichateerera’?+ 43 Saka nei usina kuchengeta mhiko yaJehovha uye murayiro wandakakupa?” 44 Mambo akabva ati kuna Shimei: “Mumwoyo mako unoziva zvakaipa zvese zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi;+ Jehovha achadzorera zvakaipa izvozvo pamusoro wako.+ 45 Asi Mambo Soromoni achakomborerwa,+ uye chigaro chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nekusingaperi.” 46 Mambo akabva arayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, uyo akabva abuda akamurwisa, akamuuraya.+

Saka umambo hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.+

3 Soromoni akaroora kwaFarao mambo weIjipiti. Akaroora* mwanasikana waFarao,+ akamuunza kuGuta raDhavhidhi+ kusvikira apedza kuzvivakira imba yake,+ neimba yaJehovha,+ nerusvingo rwaipoteredza Jerusarema.+ 2 Asi vanhu vakanga vachiri kubayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira,+ nekuti kusvika panguva iyoyo zita raJehovha rakanga risati ravakirwa imba.+ 3 Soromoni akaramba achida Jehovha kuburikidza nekufamba mumirau yababa vake Dhavhidhi, asi aibayira zvibayiro achiita kuti zvipfungaire panzvimbo dzakakwirira.+

4 Mambo akaenda kuGibhiyoni kuti anobayira zvibayiro ikoko, nekuti ikoko ndiko kwaiva nenzvimbo yakakwirira yakakurumbira* chaizvo.+ Soromoni akabayira zvibayiro zvinopiswa 1 000 paatari ikoko.+ 5 Soromoni paaiva muGibhiyoni, Jehovha akazviratidza kwaari kuhope usiku. Mwari akati: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.”+ 6 Soromoni akabva ati: “Makaratidza rudo rukuru rusingachinji kumuranda wenyu Dhavhidhi, ivo baba vangu, zvavaifamba pamberi penyu nekutendeka, nekururama uye nemwoyo wakaperera kwamuri. Makaramba muchivaratidza rudo rwakadaro rusingachinji kusvikira nhasi nekuvapa kwamakaita mwanakomana kuti agare pachigaro chavo cheumambo.+ 7 Uye iye zvino, Jehovha Mwari wangu, magadza muranda wenyu kuti ave mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, kunyange zvazvo ndichiri mwana mudiki* uye ndisina ruzivo.*+ 8 Muranda wenyu ari pakati pevanhu venyu vamakasarudza,+ vanhu vakawanda chaizvo zvekuti havazivikanwi kuti vangani uye havaverengeki. 9 Saka ipai muranda wenyu mwoyo unoteerera kuti atonge vanhu venyu,+ kuti azive chakanaka nechakaipa,+ nekuti ndiani angakwanisa kutonga vanhu venyu ava vakawanda* kudai?”

10 Jehovha akafara nezvakakumbirwa naSoromoni.+ 11 Mwari akabva ati kwaari: “Nekuti wakumbira izvi, uye hauna kukumbira kuti uve neupenyu hwakareba* kana pfuma kana kufa kwevavengi* vako, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga mhosva,+ 12 ndichaita zvawakumbira.+ Ndichakupa mwoyo wakachenjera uye unonzwisisa,+ zvekuti hapazombovi nemumwe munhu akaita sewe sezvapasina kumbobvira pava nemumwe akaita sewe.+ 13 Ndichakupawo zvausina kukumbira, ndichakupa+ pfuma nekukudzwa,+ zvekuti hakuzovi nemumwe mambo akaita sewe paunenge uchiri kurarama.*+ 14 Uye kana ukafamba munzira dzangu uchichengeta mirau yangu nemirayiro yangu, sezvakaitwa nababa vako Dhavhidhi,+ ndichaitawo kuti urarame upenyu hwakareba.”*+

15 Soromoni paakamuka, akaona kuti kwaiva kurota. Akabva aenda kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare+ uye akaitira varanda vake vese mutambo.

16 Panguva iyoyo pfambi mbiri dzakapinda maiva namambo, dzikamira pamberi pake. 17 Mukadzi wekutanga akati: “Pamusoroi ishe wangu, ini nemukadzi uyu tinogara muimba imwe chete, uye ndakasununguka mwana iye arimo mumba macho. 18 Pazuva rechitatu pashure pekunge ndasununguka, mukadzi uyu akasunungukawo. Taiva pamwe chete, tiri vaviri chete; takanga tisina mumwe munhu mumba macho. 19 Mwanakomana wemukadzi uyu akafa usiku, nekuti akamutsimbirira. 20 Saka akamuka pakati peusiku, akatora mwanakomana wangu padivi pangu, murandasikana wenyu paakanga akarara, akamuradzika padivi pake,* uye akaradzika mwanakomana wake akafa padivi pangu. 21 Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu, ndakaona akafa. Saka ndakanyatsomuongorora mangwanani, ndikaona kuti akanga asiri mwanakomana wangu wandakanga ndabereka.” 22 Asi mumwe mukadzi wacho akati: “Aiwa, mwanakomana wangu ndiye mupenyu, asi wako ndiye akafa!” Asi mukadzi uya wekutanga aiti: “Aiwa, mwanakomana wako ndiye akafa, wangu ndiye mupenyu.” Ndidzo nharo dzavaiitisana pamberi pamambo.

23 Mambo akazoti: “Uyu ari kuti, ‘Mupenyu ndiye mwanakomana wangu, asi akafa ndiye mwanakomana wako!’ uyuwo achiti, ‘Aiwa, mwanakomana wako ndiye akafa, wangu ndiye mupenyu!’” 24 Mambo akati: “Ndipei bakatwa.” Saka vakauya nebakatwa kuna mambo. 25 Mambo akabva ati: “Chekai mwana mupenyu nepakati, mupe hafu kune mumwe mukadzi uye imwe hafu kune mumwe wacho.” 26 Mukadzi akanga ari muridzi wemwanakomana mupenyu akabva ateterera mambo, nekuti mwoyo wake wakarwadziwa pamusoro pemwanakomana wake. Akati: “Ndapota, ishe wangu! Mupei henyu mwana wacho mupenyu! Musamuuraya!” Asi mumwe mukadzi akanga achiti: “Haazovi wangu kana wako! Ngavamucheke nepakati!” 27 Mambo akabva apindura achiti: “Ipai mukadzi wekutanga mwana mupenyu! Musauraya mwana wacho, nekuti ava ndivo amai vake.”

28 Saka vaIsraeri vese vakanzwa matongero akanga aitwa namambo, uye vakaremekedza* mambo chaizvo,+ nekuti vakaona kuti Mwari akanga amupa uchenjeri hwekuti atonge zvakarurama.+

4 Mambo Soromoni aitonga vaIsraeri vese.+ 2 Aya ndiwo aiva makurukota* ake: Azariya mwanakomana waZadhoki+ aiva mupristi; 3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori;+ Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi ndiye aiva munyori wezvaiitika; 4 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha aiva mukuru weuto; Zadhoki naAbhiyatari+ vaiva vapristi; 5 Azariya mwanakomana waNatani+ aiva mukuru wevatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva mupristi uye shamwari yamambo;+ 6 Ahishari ndiye aitungamirira pamuzinda; uye Adhoniramu+ mwanakomana waAbdha, aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa.+

7 Soromoni aiva nevatariri 12 vaitungamirira vaIsraeri vese, uye vaiunza zvekudya kuna mambo neimba yake. Mumwe nemumwe wavo aifanira kuunza zvekudya kwemwedzi mumwe chete pagore.+ 8 Aya ndiwo aiva mazita avo: Mwanakomana waHeri, munyika ine makomo yaEfremu; 9 mwanakomana waDhekeri, kuMakazi, Shaaribhimu,+ Bheti-shemeshi nekuEroni-bheti-hanani; 10 mwanakomana waHesedhi, kuArubhoti (Soko nenyika yese yeHeferi zvaiva pasi pake); 11 mwanakomana waAbhinadhabhu, munzvimbo dzese dzine materu dzeDhori (Tafati mwanasikana waSoromoni akava mudzimai wake); 12 Bhaana mwanakomana waAhirudhi, kuTaanaki, Megidho,+ neBheti-sheyani+ yese, iri pedyo neZaretani muzasi meJezreeri, kubva kuBheti-sheyani kusvika kuAbheri-mehora kusvika kunharaunda yeJokmeyamu;+ 13 mwanakomana waGebheri, kuRamoti-giriyedhi+ (aiona nezvemisha yematende yaJairi+ mwanakomana waManase iri muGiriyedhi;+ uye aionawo nezvenharaunda yeAgobhu,+ iri muBhashani:+ maguta makuru 60 ane masvingo nemazariro* emhangura); 14 Ahinadhabhu mwanakomana waIdho, kuMahanaimu;+ 15 Ahimaazi, kwaNaftari (akatora Bhasemati, mumwe wevanasikana vaSoromoni, kuti ave mudzimai wake); 16 Bhaana mwanakomana waHushai, kwaAsheri neBheyaroti; 17 Jehoshafati mwanakomana waParua, kwaIsakari; 18 Shimei+ mwanakomana waEra, kwaBhenjamini;+ 19 Gebheri mwanakomana waUrai, munyika yeGiriyedhi,+ nyika yaSihoni+ mambo wevaAmori, neyaOgi+ mambo weBhashani. Kwaivawo nemumwe mutariri aiva mukuru wevamwe vatariri vese ava vemunyika yacho.

20 VaJudha nevaIsraeri vakanga vakawanda sejecha riri pedyo negungwa;+ vaidya nekunwa vachifara chaizvo.+

21 Soromoni aitonga madzimambo ese kubva kuRwizi*+ kusvika kunyika yevaFiristiya uye kusvika kumuganhu weIjipiti. Vaiuya nemutero, uye vaiva pasi paSoromoni mazuva ese eupenyu hwake.+

22 Zvekudya zvaSoromoni zvezuva rimwe nerimwe zvaiva makori* 30 efurawa yakatsetseka nemakori 60 efurawa, 23 mombe 10 dzakakodzwa, nemombe 20 dzaifudzwa kumafuro, nemakwai 100, tisingabatanidzi nondo hono, mhara, mhembwe neshiri dzakakodzwa. 24 Nekuti aitonga zvinhu zvese kudivi rino reRwizi,*+ kubva kuTifsa kusvika kuGaza,+ kubatanidza madzimambo ese aiva kudivi rino reRwizi; uye akava nerugare munzvimbo dzese, kumativi ese akanga akamupoteredza.+ 25 VaJudha nevaIsraeri vaigara zvakanaka vasina chekutya, mumwe nemumwe ari pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake, kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha, mazuva ese aSoromoni.

26 Soromoni aivawo nematanga 4 000* emabhiza epangoro dzake nemabhiza* 12 000.+

27 Vatariri vacho vaipa zvekudya kuna Mambo Soromoni nevanhu vese vaidya patafura yaMambo Soromoni. Mumwe nemumwe aiva nemwedzi wake waaiunza zvekudya uye aiva nechokwadi chekuti hapana chaishayika.+ 28 Vaiuyawo nebhari neuswa hwemabhiza kwese kwahwaidiwa, kusanganisira hwemabhiza aidhonza ngoro, mumwe nemumwe maererano nezvaakanzi aite.

29 Mwari akapa Soromoni uchenjeri neungwaru hwakakura chaizvo uye akamupawo mwoyo unoziva* zvinhu zvakawanda sejecha riri pamahombekombe egungwa.+ 30 Uchenjeri hwaSoromoni hwaipfuura nekure uchenjeri hwevanhu vese vekuMabvazuva neuchenjeri hwese hweIjipiti.+ 31 Akanga akachenjera kupfuura chero mumwe munhu upi zvake, kupfuura Etani+ muEzrahi naHemani,+ naKarikori,+ naDhadha, vanakomana vaMahori; mukurumbira wake wakasvika kumarudzi ese akanga akavapoteredza.+ 32 Akanyora* zvirevo+ 3 000 uye nziyo+ dzake dzaiva 1 005. 33 Aitaura nezvemiti, kubvira kumusidhari uri muRebhanoni kusvikira kuhisopi+ inomera pamadziro; aitaura nezvemhuka,+ shiri,*+ zvinhu zvinokambaira,*+ nehove. 34 Vanhu vaibva kumarudzi ese vaiuya kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, kusanganisira madzimambo aibva kumativi ese enyika ayo akanga anzwa nezveuchenjeri hwake.+

5 Hiramu mambo weTire+ paakanzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuva mambo panzvimbo yababa vake, akatuma varanda vake kuna Soromoni, nekuti Hiramu akanga agara ari shamwari yaDhavhidhi.*+ 2 Soromoni akabva atumirawo shoko kuna Hiramu,+ achiti: 3 “Imi munonyatsoziva kuti baba vangu Dhavhidhi havana kukwanisa kuvaka imba yezita raJehovha Mwari wavo nemhaka yekurwiswa kwavaiitwa kumativi ese, kusvikira Jehovha aisa vavengi vavo pasi petsoka dzavo.+ 4 Asi iye zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ese.+ Hapana ari kundirwisa, uye hapana chakaipa chiri kuitika.+ 5 Saka ndiri kuda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakavimbiswa baba vangu Dhavhidhi naJehovha, achiti: ‘Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako cheumambo panzvimbo yako, ndiye achavakira zita rangu imba.’+ 6 Zvino rayirai vanhu venyu kuti vanditemere misidhari yekuRebhanoni.+ Varanda vangu vachashanda nevaranda venyu, uye ndichapa varanda venyu mubhadharo wamunenge mataura, nekuti imi munoziva kuti pakati pedu hapana munhu anogona kutema miti sezvinoita vaSidhoni.”+

7 Hiramu paakanzwa mashoko aSoromoni, akafara chaizvo, akati: “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi nekuti akapa Dhavhidhi mwanakomana akachenjera kuti atungamirire vanhu ava vakawanda!”+ 8 Saka Hiramu akatumira shoko kuna Soromoni, achiti: “Ndanzwa shoko rawanditumira. Ndichaita zvese zvauri kuda; ndichakupa matanda emisidhari nematanda emijunipa.+ 9 Varanda vangu vachabva nawo kuRebhanoni vodzika nawo kugungwa, uye ndichaasunga pamwe chete ndichiayeredza nemugungwa achienda kunzvimbo yauchandiudza. Ndichaita kuti asunungurwe ikoko, iwe wozoatakura. Iwewo uchandipa zvekudya zveimba yangu zvandichakumbira.”+

10 Saka Hiramu akapa Soromoni matanda ese emisidhari neemijunipa aidiwa naSoromoni. 11 Soromoni akapawo Hiramu makori* 20 000 egorosi kuti veimba yake vadye nemakori 20 emafuta akacheneswa emaorivhi. Soromoni aipa Hiramu zvinhu izvozvo gore negore.+ 12 Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa.+ Pakati paHiramu naSoromoni pakava nerugare, uye vaviri vacho vakaita chibvumirano.*

13 Mambo Soromoni akatora varume kubva muIsraeri yese kuti vaite basa rekumanikidzwa;+ akatora varume 30 000. 14 Aivatuma kuRebhanoni vari mumapoka evanhu 10 000 pamwedzi. Vaiita mwedzi vari kuRebhanoni, uye mwedzi miviri vari kumisha yavo; Adhoniramu+ ndiye aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa. 15 Soromoni aiva nevashandi 70 000 vaiita basa risingadi unyanzvi* ne80 000 vaicheka matombo+ mumakomo,+ 16 uyewo paiva nevatariri+ 3 300 vaSoromoni avo vaiva maforomani evashandi vacho. 17 Vachitevera murayiro waMambo, vakachera matombo makuru, matombo anodhura,+ kuti vavake faundesheni+ yeimba yacho nematombo akavezwa.+ 18 Saka vavaki vaSoromoni nevavaki vaHiramu nevanhu vekuGebhari+ vakaveza matombo, uye vakagadzira matanda nematombo ekuvakisa imba yacho.

6 Mugore rechi480 kubva pakabuda vaIsraeri* munyika yeIjipiti,+ mugore rechina kubva pakatanga Soromoni kutonga Israeri, mumwedzi waZivhi*+ (kureva mwedzi wechipiri), Soromoni akatanga kuvaka imba yaJehovha.*+ 2 Imba yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yaiva yakareba makubhiti* 60, yakafara makubhiti 20, uye yakakwirira makubhiti+ 30. 3 Vharanda+ raiva pamberi petemberi* raiva rakareba makubhiti 20, rakaenzana nekufara kweimba yacho. Raibuda nemakubhiti 10 kubva pamberi peimba yacho.

4 Akagadzirira imba yacho mahwindo aiva nemafuremu aienda achiita madiki.+ 5 Akavakawo mudhuri waienda uchitevedza madziro eimba yacho uri nechepadivi; waipoterera madziro eimba yacho, kureva madziro etemberi* neimba yemukati,+ uye akagadzira mikoto yaiva pakati pemudhuri wacho neimba yacho, akaikamura-kamura kuita dzimba.+ 6 Mukoto wepasi waiva wakafara makubhiti 5, mukoto wepakati wakanga wakafara makubhiti 6, uye wepamusoro waiva wakafara makubhiti 7, nekuti akavaka achigadzira pekugadzikira matanda achipoteredza imba yacho, kuti vasazoboora madziro eimba yacho.+

7 Imba yacho yakavakwa nematombo akacherwa akanga atogadzirwa,+ zvekuti hapana sando kana demo kana mumwe mudziyo wesimbi wainzwika muimba yacho payaivakwa. 8 Suo rekupinda naro mumukoto wepasi raiva kudivi rekumaodzanyemba* reimba yacho,+ uye paiva nemasitepisi aimonereka achikwidza kuenda kumukoto wepakati, uye kubva pane wepakati kuenda kune wechitatu. 9 Akaramba achivaka imba yacho kusvika aipedza;+ akaiisa denga rematanda emusidhari iro raakawaridzawo mapuranga emusidhari.+ 10 Akagadzira mikoto yaipoterera imba yacho yese,+ mumwe nemumwe wakakwirira makubhiti mashanu, uye matanda emusidhari aibatanidza mudhuri neimba yacho.

11 Munguva iyi, shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni, richiti: 12 “Panyaya yeimba iyi yauri kuvaka, kana ukafamba mumirau yangu woita maererano nemitongo yangu, wochengeta mirayiro yangu yese uchifamba mairi,+ ndichakuitirawo zvandakavimbisa baba vako Dhavhidhi,+ 13 ndichagara pakati pevaIsraeri,+ uye handizosiyi vanhu vangu vaIsraeri.”+

14 Soromoni akaramba achivaka imba yacho kuti aipedze. 15 Akanamirira mapuranga emusidhari pamadziro ese emukati eimba yacho. Akanamirira mapuranga pamadziro acho emukati, kubva pasi kusvika pamapango esirin’i, uye pasi akanamirira mapuranga emujunipa.+ 16 Mukati meimba yacho,+ nechekumashure kwayo, akavaka kamuri raiva nemakubhiti 20 achishandisa mapuranga emusidhari, kubva pasi kusvika pamapango edenga, uye kamuri racho ndiro raiva Nzvimbo Tsvenetsvene.+ 17 Uye temberi* yacho+ (kureva chikamu chekumberi cheimba yacho) yaiva makubhiti 40. 18 Mapuranga emusidhari emukati meimba yacho akanga akatemererwa mifananidzo yemichero yakaita semanwiwa madiki+ nemaruva akatumbuka.+ Zvese zvaiva zvemusidhari; hapana dombo raioneka.

19 Akagadzira imba yemukati+ muimba yacho kuti aise areka yesungano yaJehovha imomo.+ 20 Imba yemukati yaiva yakareba makubhiti 20, yakafara makubhiti 20, yakakwirira makubhiti 20;+ uye akaiisa goridhe rakanatswa kumativi ayo ese; uye akaisa atari yacho yese+ mapuranga emusidhari. 21 Soromoni akanamirira goridhe rakanatswa mukati meimba yacho yese,+ uye akasungirira cheni dzegoridhe dzichipfuura nepamberi peimba yemukati,+ iyo yakanga yakaiswa goridhe kumativi ayo ese. 22 Imba yese akaiisa goridhe; uyewo atari, iyo yaiva pedyo neimba yemukati, akaiisawo goridhe.+

23 Muimba yemukati akagadzira makerubhi maviri+ achishandisa matanda emupaini,* rimwe nerimwe rakareba makubhiti+ 10. 24 Bapiro rimwe chete rekerubhi raiva rakareba makubhiti mashanu, rimwe racho rakareba makubhiti mashanu. Kubva paiperera rimwe bapiro kusvika paiperera rimwe bapiro racho, pakanga paine makubhiti 10. 25 Kerubhi rechipiri raivawo makubhiti 10. Makerubhi acho ari maviri aiva akakura zvakafanana, aine chimiro chakafanana. 26 Kerubhi rimwe chete rakanga rakareba makubhiti 10, uye ndizvo zvakanga zvakaita rimwe racho. 27 Akabva aisa makerubhi acho+ muimba yemukati.* Mapapiro emakerubhi acho akanga akavhurika zvekuti bapiro rerimwe kerubhi raisvika kumadziro, bapiro rerimwe kerubhi richisvika kumadziro ekune rimwe divi, uye mapapiro awo aitambanuka kunosvika nechepakati peimba yacho, zvekuti mapapiro acho akanga akagumana. 28 Akaisa goridhe pamakerubhi acho.

29 Pamadziro acho ese emuimba yemukati neemuimba yekunze* akatemerera mifananidzo yemakerubhi,+ yemiti yemichindwe,+ neyemaruva akatumbuka.+ 30 Akanamirira goridhe pasi muimba yacho yese, muimba yemukati neimba yekunze. 31 Uye pasuo reimba yemukati akagadzira madhoo emuti wemupaini, mbiru dzemumativi, nemagwatidziro,* sechikamu chechishanu.* 32 Madhoo acho maviri aiva emapuranga emupaini, uye akaatemerera mifananidzo yemakerubhi, neyemiti yemichindwe, neyemaruva akatumbuka, akaaisa goridhe; akaisawo goridhe pamakerubhi acho nepamiti yemichindwe. 33 Ndiwo magadziriro aakaita magwatidziro emapuranga emupaini pasuo retemberi,* ari echikamu chechina.* 34 Akagadzirawo madhoo maviri emujunipa. Dhoo rimwe chete raiva nezvipenga zviviri zvaitenderera pamahinji, uye rimwe racho raiva nezvipenga zviviri zvaitenderera pamahinji.+ 35 Akatemerera mifananidzo yemakerubhi, yemiti yemichindwe, neyemaruva akatumbuka, akaisa goridhe pamifananidzo yacho.

36 Akavaka madziro aipoteredza chivanze chemukati+ ayo aiva nemitsara mitatu yematombo akavezwa nemutsara wematanda emusidhari.+

37 Faundesheni yeimba yaJehovha yakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi;*+ 38 uye mugore rechi11, mumwedzi waBhuri* (kureva mwedzi wechi8), imba yacho yakapera nezvese zvaifanira kuitwa pairi, maererano nepurani yayo.+ Saka akaita makore 7 achiivaka.

7 Soromoni akaita makore 13 achivaka imba yake,*+ kusvikira imba yake yese yapera.+

2 Uye akavaka Imba yeSango reRebhanoni+ yakareba makubhiti* 100, yakafara makubhiti 50, yakakwirira makubhiti 30. Imba yacho yakanga yakagara pamitsara mina yembiru dzemusidhari; uye pamusoro pembiru dzacho paiva nematanda emusidhari.+ 3 Yakarovererwa mapuranga emusidhari pamusoro pematanda aiva akagara pambiru. Paiva ne45, mutsara mumwe nemumwe uine 15. 4 Paiva nemitsara mitatu yemahwindo ane mafuremu, uye hwindo rimwe nerimwe rakanga rakatarisana nerimwe hwindo mumitsara mitatu yakanga yakaturikidzana. 5 Masuo ese nemagwatidziro* aiva nemafuremu ane mativi mana akaenzana,* sezvakanga zvakaita kumberi kwemahwindo akanga akatarisana ari mumitsara mitatu.

6 Akavaka Vharanda reMbiru rakareba makubhiti 50, rakafara makubhiti 30, uye pamberi paro paiva nerimwe vharanda raiva nembiru nedenga.

7 Akavakawo Imba yeChigaro* cheUmambo+ maaizotonga ari, iyo Imba Yekutongera,+ uye vakainamirira mapuranga emusidhari kubva pasi kusvika pamatanda edenga.

8 Muzinda waaizogara, uyo waiva kune chimwe chivanze,+ wakanga uri kumashure kweImba yacho uye wakanga wakafanana nayo pamavakirwo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFarao waakanga aroora+ imba yakanga yakafanana neImba yacho.

9 Zvese izvi zvakavakwa nematombo anodhura+ akavezwa achiyerwa sezvaidiwa, akachekererwa mukati nekunze nemasaha ekuchekesa matombo, kubva pafaundesheni kusvika kumusoro kwemadziro, uye panze kusvika kuchivanze chikuru.+ 10 Faundesheni yakavakwa nematombo akakura chaizvo uye anodhura; mamwe matombo akanga akareba makubhiti 10, mamwe akareba makubhiti 8. 11 Pamusoro pawo paiva nematombo anodhura akanga akavezwa aine ukuru hwaidiwa, uye paivawo nematanda emusidhari. 12 Chivanze chikuru chakanga chakatenderedzwa nemadziro aiva nemitsara mitatu yematombo akavezwa, nemutsara wematanda emusidhari, sezvakanga zvakaitawo chivanze chemukati+ cheimba yaJehovha nevharanda reimba.+

13 Mambo Soromoni akatuma vanhu kunoshevedza Hiramu+ vakauya naye kubva kuTire. 14 Aiva mwanakomana wechirikadzi yekudzinza raNaftari, uye baba vake vaiva vekuTire, vari mupfuri wemhangura;+ uye aiva neunyanzvi hwakakura nekunzwisisa+ neruzivo rwekuita mabasa emarudzi ese aishandiswa mhangura.* Saka akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rese raakapiwa.

15 Akagadzira mbiru mbiri dzemhangura;+ mbiru imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti 18, uye paida tambo yakareba makubhiti 12 kuti upoteredze mbiru imwe chete.+ 16 Akagadzira misoro miviri yemhangura kuti aiise pamusoro pembiru dzacho. Musoro mumwe chete waiva wakareba makubhiti 5, mumwe wacho wakarebawo makubhiti 5. 17 Musoro wembiru imwe neimwe waiva nemambure aiva necheni dzakaupoteredza;+ mambure emusoro mumwe nemumwe aine zvikamu 7. 18 Akagadzirawo mapomegraneti* ari mumitsara miviri yaipoterera mambure emusoro mumwe nemumwe kuti afukidze misoro yembiru dzacho; ndizvo zvaakaita pamisoro yacho iri miviri. 19 Misoro yembiru dzacho dzaiva pavharanda yaiva yakagadzirwa semaruva, yakareba makubhiti mana. 20 Misoro yacho yaiva pambiru dzacho mbiri, nechepamusoro pechikamu cheraundi chainge chakabatana nemambure; uye pamusoro mumwe nemumwe paiva nemapomegraneti 200 aiupoteredza ari mumitsara.+

21 Akamisa mbiru dzevharanda retemberi.*+ Akamisa mbiru yekurudyi* akaitumidza kuti Jakini,* uye akabva amisa mbiru yekuruboshwe* akaitumidza kuti Bhoazi.*+ 22 Kumusoro kwembiru dzacho kwainge kwakaita semaruva. Basa rekugadzira mbiru rakabva rapera.

23 Akabva agadzira Dziva* achishandisa simbi yakanyungudutswa.+ Rakanga riri reraundi, riine makubhiti 10 kubva kune rimwe divi remuromo waro kusvika kune rimwe divi remuromo waro, uye rakanga rakadzika makubhiti 5, uye paida tambo yakareba makubhiti 30 kuti uripoteredze.+ 24 Nechepazasi pemuromo waro paiva nezvinhu zvekushongedza zvakaita semanwiwa madiki+ zvakanga zvakaripoteredza rese zvaro, pakubhiti rimwe nerimwe paine 10, zvichipoterera Dziva racho rese, zvakaumbwa zviri paDziva racho mumitsara miviri. 25 Rakanga rakagadzikwa pamikono 12 yemombe,+ nhatu dzakatarisa kuchamhembe, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa kumaodzanyemba, nhatu dzakatarisa kumabvazuva; uye Dziva racho rakanga rakagara pamusoro padzo, dzese dzakafuratira pakati. 26 Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita seupamhi hwechanza;* uye muromo waro wakanga wakagadzirwa semuromo wekapu, seruva rakatumbuka. Raigara riine mabhati* 2 000.

27 Akabva agadzira zvingoro 10*+ zvemhangura. Chingoro chimwe nechimwe chakanga chakareba makubhiti mana, chakafara makubhiti mana, uye chakakwirira makubhiti matatu. 28 Zvingoro zvacho zvakanga zvakagadzirwa seizvi: Zvaiva nemarata emumativi, uye marata acho emumativi aiva pakati pesimbi dzakachinjika. 29 Pamarata emumativi aiva pakati pesimbi dzakachinjika paiva neshumba,+ mikono yemombe, nemakerubhi,+ uye ndizvo zvakanga zvakaitawo pasimbi dzakachinjika. Pamusoro uye pasi peshumba dzacho nemikono yemombe paiva nezvekushongedza zvaimonereka. 30 Chingoro chimwe nechimwe chaiva nemavhiri mana emhangura nemaekisero emhangura, uye mumakona acho mana maiva nezvaitsigisa. Pasi pebheseni paiva nezvitsigiso zvakagadzirwa zviine zvekushongedza zvakamonereka padivi pechimwe nechimwe chazvo. 31 Bheseni racho rakanga rakakomberedzwa nekorona, rakadzika kubhiti rimwe chete. Rakanga riri reraundi, uye kubva pasi paro kusvika pamusoro pekorona yaro paiva nekubhiti nehafu, uye pamuromo waro pakanga pakatemererwa mifananidzo. Marata azvo emumativi akanga asiri eraundi asi aiva nemativi mana akaenzana. 32 Mavhiri acho mana aiva pasi pemarata emumativi, uye zvitsigiso zvemavhiri acho zvaiva zvakabatana nechingoro chacho, uye vhiri rimwe nerimwe raiva rakakwirira kubhiti nehafu. 33 Mavhiri acho akanga akagadzirwa semavhiri edzimwe ngoro. Zvitsigiso zvawo nemarimu, masipokisi, nemahabha awo, zvese zvakanga zvakagadzirwa nesimbi yaiita zvekunyungudutswa. 34 Paiva nezvitsigiso zvina pamakona mana echingoro chimwe nechimwe. Zvitsigiso zvacho zvakagadzirwa zvakabatana nechingoro chacho. 35 Kumusoro kwechingoro chacho kwaiva nechaiita sechibhandi chaipoterera, chaiva chakafara hafu yekubhiti, uye mafuremu nemarata ekumusoro kwechingoro chacho, akanga akagadzirwa akabatana nacho. 36 Pamafuremu acho nepamarata acho, akatemerera mifananidzo yemakerubhi, yeshumba neyemiti yemichindwe, zvichienderana nezvaikwana pafuremu neparata rimwe nerimwe, uye paivawo nezvekushongedza zvaimonereka zvichichipoteredza.+ 37 Aya ndiwo magadziriro aakaita zvingoro zvacho 10;+ magadzirirwo azvo zvese aiva mamwe chete,+ zvakanga zvakaenzana uye zvakafanana.

38 Akagadzira mabheseni emhangura+ 10; rimwe nerimwe raipinda mabhati 40. Bheseni rimwe nerimwe raiva makubhiti mana.* Pazvingoro zvacho 10, chimwe nechimwe chaiva nebheseni racho. 39 Akabva aisa zvingoro zvishanu kudivi rekurudyi reimba yacho, uye zvishanu kudivi reruboshwe reimba yacho, uye akaisa Dziva racho kudivi rekurudyi reimba yacho, kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva.+

40 Hiramu+ akagadzirawo mabheseni, mafoshoro,+ nendiro.+

Saka Hiramu akapedza basa rese raakaitira Mambo Soromoni paimba yaJehovha.+ Izvi ndizvo zvaakagadzira: 41 mbiru mbiri+ nemisoro miviri yakaita sehari yaiva pamusoro pembiru dzacho mbiri; mambure maviri+ ekufukidza misoro miviri yakaita sehari yaiva pamusoro pembiru dzacho; 42 mapomegraneti+ 400 emambure acho maviri, mitsara miviri yemapomegraneti pamambure mamwe nemamwe, kuti ifukidze misoro miviri yakaita sehari yaiva pambiru dzacho mbiri; 43 zvingoro 10+ nemabheseni 10+ aiva pazvingoro zvacho; 44 Dziva+ nemikono 12 yemombe dzaiva pasi peDziva racho; 45 nemakeni, mafoshoro, ndiro, nemidziyo yese yakagadzirirwa Mambo Soromoni naHiramu achishandisa mhangura yakakweshwa kuti ipenye, zveimba yaJehovha. 46 Mambo akazviumbira muforoma dzevhu mudunhu reJodhani, pakati peSukoti neZaretani.

47 Soromoni haana kuyera midziyo yacho yese nekuti yakanga yakawanda chaizvo. Kurema kwemhangura yacho hakuna kuzivikanwa.+ 48 Soromoni akagadzira midziyo yese yeimba yaJehovha inoti: atari+ yegoridhe; tafura yegoridhe+ yekuisira chingwa chekuratidza; 49 zvigadziko zvemarambi+ zvegoridhe rakanatswa, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe pamberi peimba yemukati; nemaruva akatumbuka,+ nemarambi, nezvekubvisisa tambo yapera kubvira,* achishandisa goridhe;+ 50 mabheseni, zvekudzimisa moto,+ ndiro, makapu,+ nemidziyo yekuisira moto,+ achishandisa goridhe rakanatswa; nemahinji emasuo eimba yemukati,+ kureva Nzvimbo Tsvenetsvene, neemasuo eimba yetemberi,+ achishandisa goridhe.

51 Saka Mambo Soromoni akapedza basa rese raaifanira kuita reimba yaJehovha. Soromoni akabva aunza zvinhu zvakanga zvatsaurwa* nababa vake Dhavhidhi,+ uye akaisa sirivha negoridhe, nemimwe midziyo maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha.+

8 Panguva iyoyo Soromoni akaunganidza+ vakuru vaIsraeri, vakuru vese vemadzinza, nemachinda edzimba dzemadzibaba evaIsraeri.+ Vakauya kuna Mambo Soromoni kuJerusarema kuti vakwidze neareka yesungano yaJehovha kubva muGuta raDhavhidhi,+ kureva Ziyoni.+ 2 Varume vese veIsraeri vakaungana pamberi paMambo Soromoni pamutambo* mumwedzi waEtanimu,* kureva mwedzi wechinomwe.+ 3 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya, uye vapristi vakasimudza Areka.+ 4 Vakakwidza neAreka yaJehovha, tende rekusanganira,+ nemidziyo yese mitsvene yaiva mutende racho. Vapristi nevaRevhi vakakwidza nazvo. 5 Mambo Soromoni neungano yese yevaIsraeri, avo vainge vashevedzwa kuti vauye kwaari, vaiva pamberi peAreka. Pakanga pachibayirwa makwai nemombe zvakawanda chaizvo+ zvekusagona kuverengwa kana kuzivikanwa kuti zvingani.

6 Vapristi vakabva vaisa areka yesungano yaJehovha munzvimbo yayo,+ muimba yemukati yeimba yacho, iyo Nzvimbo Tsvenetsvene, pasi pemapapiro emakerubhi.+

7 Saka mapapiro emakerubhi acho aiva akatambanudzwa pamusoro penzvimbo yaiva neAreka, zvekuti makerubhi acho akavharidzira Areka nemapango ayo.+ 8 Mapango acho+ akanga akareba zvekuti kunoperera mapango acho kwaioneka uri muNzvimbo Tsvene pamberi peimba yemukati, asi akanga asingaoneki uri kunze. Uye nanhasi achiri imomo. 9 MuAreka macho makanga musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri ematombo+ akaiswa imomo naMozisi+ kuHorebhi, Jehovha paakaita sungano+ nevaIsraeri pavaibuda munyika yeIjipiti.+

10 Vapristi pavakabuda munzvimbo tsvene, gore+ rakazadza imba yaJehovha.+ 11 Vapristi havana kukwanisa kumira kuti vashumire nemhaka yegore racho, nekuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha.+ 12 Panguva iyoyo Soromoni akati: “Jehovha akati aizogara murima guru.+ 13 Ndabudirira kukuvakirai imba yakakwirira, nzvimbo isingachinji yekuti mugare nekusingaperi.”+

14 Mambo akabva atendeuka, akatanga kukomborera ungano yese yaIsraeri, ungano yese yaIsraeri yakamira.+ 15 Akati: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo azadzisa neruoko rwake zvaakavimbisa baba vangu Dhavhidhi nemuromo wake achiti, 16 ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsraeri muIjipiti, handina kusarudza guta pamadzinza ese aIsraeri rekuti zita rangu rivakirwe imba kuti rirambe riri ipapo,+ asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atungamirire vanhu vangu vaIsraeri.’ 17 Baba vangu Dhavhidhi vaiva nechido mumwoyo mavo chekuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.+ 18 Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Waiva nechido mumwoyo mako chekuvakira zita rangu imba, uye wakaita zvakanaka nekuva nechido ichi mumwoyo mako. 19 Zvisinei, iwe hauzovaki imba yacho, asi mwanakomana wako wauchabereka* ndiye achavakira zita rangu imba.’+ 20 Jehovha azadzisa vimbiso yaakaita, nekuti ndatevera baba vangu Dhavhidhi pakutonga ndikagara pachigaro cheumambo chaIsraeri sezvakavimbiswa naJehovha. Ndavakirawo zita raJehovha Mwari waIsraeri imba+ 21 uye ndagadzira pekuisira Areka ine sungano+ yakaitwa naJehovha nemadzitateguru edu paakanga achivabudisa munyika yeIjipiti.”

22 Soromoni akabva amira pamberi peatari yaJehovha ari pamberi peungano yese yaIsraeri, achibva atambanudzira maoko ake kudenga,+ 23 akati: “Jehovha Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi+ kumusoro kudenga nepasi pano, anochengeta sungano uye anoratidza rudo rusingachinji+ kuvaranda venyu vari kufamba pamberi penyu nemwoyo yavo yese.+ 24 Mazadzisa vimbiso yamakaitira muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi. Makataura vimbiso yacho nemuromo wenyu, uye nhasi maizadzisa neruoko rwenyu.+ 25 Iye zvino Jehovha Mwari waIsraeri, chizadzisai zvamakavimbisa muranda wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi, pamakati: ‘Pamberi pangu hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri, kana vanakomana vako vakangochenjerera nzira yavo nekufamba pamberi pangu sekufamba kwawakaita pamberi pangu.’+ 26 Ndapota Mwari waIsraeri, zadzisai vimbiso yamakaita kumuranda wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi.

27 “Asi chokwadi Mwari angagara panyika here?+ Onai! Hamungakwani mumatenga, mumatenga ekumatenga;+ ko kuzoti muimba iyi yandavaka!+ 28 Jehovha Mwari wangu, teererai munyengetero wemuranda wenyu nekukumbira kwake kunzwirwa nyasha, uye teererai kuchemera kubatsirwa kwemuranda wenyu uye munyengetero wake waari kunyengetera pamberi penyu nhasi. 29 Maziso enyu ngaagare akatarisa kuimba iyi siku nesikati, kunzvimbo yamakati, ‘Zita rangu richava ipapo,’+ kuti muteerere munyengetero unopiwa nemuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino.+ 30 Uye teererai kukumbira kunzwirwa nyasha kwemuranda wenyu uye chikumbiro chevanhu venyu vaIsraeri chavanoita vachinyengetera vakatarisa kunzvimbo ino, uye inzwai muri kudenga kunzvimbo yenyu yamunogara;+ vanzweiwo muvakanganwire.+

31 “Kana munhu akatadzira mumwe wake, onzi apike mhiko* obva ava pasi pemhiko* yacho, uye paanenge ari pasi pemhiko* yacho akauya pamberi peatari yenyu iri muimba iyi,+ 32 inzwai muri kudenga, muwane zvamunoita, motonga varanda venyu nekuzivisa kuti munhu akaipa ane mhosva* uye nekuita kuti zvakaipa zvaakaita zvimudzokere, uye nekuzivisa kuti munhu akarurama haana mhosva* momupa mubayiro unoenderana nekururama kwake.+

33 “Kana vanhu venyu vaIsraeri vakakundwa nemuvengi nekuti vanenge varamba vachikutadzirai,+ asi vodzoka kwamuri, vokudza zita renyu,+ vonyengetera uye voteterera kunzwirwa nyasha nemi vari muimba iyi,+ 34 inzwai muri kudenga, mukanganwire chivi chevanhu venyu vaIsraeri, muvadzose kunyika yamakapa madzitateguru avo.+

35 “Kana denga rikavharwa, mvura yorega kunaya+ nekuti vanenge varamba vachikutadzirai,+ uye vakanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino, vokudza zita renyu, votendeuka pachivi chavo nekuti munenge mavaranga,*+ 36 inzwai muri kudenga, mukanganwire chivi chevaranda venyu, ivo vanhu venyu vaIsraeri, nekuti muchavadzidzisa+ nezvenzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; uye nayisai mvura panyika yenyu+ yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.

37 “Kana munyika mukaita nzara,+ kana denda, kana kutsva kwezvirimwa, kana kuora kwezvirimwa,+ mhashu dzinobhururuka dzakawanda kana mhashu dzinodya dzisingasiye chinhu; uye kana muvengi wavo akavakomba mune rimwe remaguta emunyika yacho* kana kuti pakava nedambudziko ripi zvaro kana chirwere,+ 38 chero munyengetero upi zvawo, chero kukumbira kunzwirwa nyasha+ kupi zvako kungaitwa nemunhu chero upi zvake kana nevanhu venyu vese vaIsraeri (nekuti mumwe nemumwe anoziva zvinomunetsa mumwoyo)+ pavanotambanudzira maoko avo kuimba iyi, 39 inzwai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara,+ mukanganwire+ moita chimwe chinhu; uye ipai mumwe nemumwe mubayiro unoenderana nenzira dzake dzese,+ nekuti munoziva mwoyo wake (imi mega ndimi munonyatsoziva mwoyo wemunhu wese),+ 40 kuti vakutyei mazuva ese avanogara panyika yamakapa madzitateguru edu.

41 “Uyewo munhu wekune imwe nyika, asiri wevanhu venyu vaIsraeri, uya anouya kubva kunyika iri kure nekuda kwezita renyu*+ 42 (nekuti vachanzwa nezvezita renyu guru+ uye nezveruoko rwenyu rune simba uye nezveruoko rwenyu rwakatambanudzwa), akauya akanyengetera akatarisa kuimba iyi, 43 teererai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara,+ muite zvese zvamunokumbirwa nemunhu wacho wekune imwe nyika, kuti marudzi ese epanyika azive zita renyu okutyai,+ sezvinoitwa nevanhu venyu vaIsraeri, uye kuti azive kuti zita renyu riri paimba iyi yandavaka.

44 “Kana vanhu venyu vakaenda kunorwisana nemuvengi wavo chero kwamunenge mati vaende,+ uye vakanyengetera+ kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza+ nekuimba yandavakira zita renyu,+ 45 inzwai munyengetero wavo nekukumbira kwavo kunzwirwa nyasha muri kudenga, muvabatsire.

46 “Kana vakakutadzirai (nekuti hapana munhu asingatadzi),+ imi movatsamwira chaizvo movaisa mumaoko emuvengi, vanhu vanenge vavatapa vobva vaenda navo kunyika yemuvengi, iri kure kana iri pedyo;+ 47 vobva vazopengenuka vari munyika yavakatapwa,+ vodzoka kwamuri+ voteterera kwamuri kuti muvanzwire nyasha vari munyika yevanhu vakavatapa,+ vachiti, ‘Takatadza uye takakanganisa; takaita zvakaipa,’+ 48 uye vodzoka kwamuri nemwoyo yavo yese+ nemweya* yavo yese vari munyika yevavengi vavo vanenge vavatapa, vonyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, nekuguta ramakasarudza nekuimba yandakavakira zita renyu,+ 49 inzwai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara,+ munyengetero wavo nekukumbira kwavo kunzwirwa nyasha, muvabatsire 50 uye mukanganwire vanhu venyu vanenge vakutadzirai, muchivaregerera zvese zvavanenge vakutadzirai. Muchaita kuti vanzwirwe tsitsi nevanenge vavatapa+ 51 (nekuti ivo vanhu venyu nenhaka yenyu,+ vamakabudisa muIjipiti,+ muchoto chinonyungudutsirwa simbi).+ 52 Maziso enyu ngaaone kukumbira kunzwirwa nyasha+ kwemuranda wenyu nekukumbira kunzwirwa nyasha kwevanhu venyu vaIsraeri, nekuvateerera pese pavanoshevedzera kwamuri.*+ 53 Nekuti makavatsaura pamarudzi ese epanyika kuti vave nhaka yenyu,+ sezvamakataura muchishandisa muranda wenyu Mozisi pamaibudisa madzitateguru edu muIjipiti, imi Changamire Ishe Jehovha.”

54 Soromoni paakangopedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wese nekukumbira kunzwirwa nyasha, akasimuka pamberi peatari yaJehovha, paakanga akapfugama maoko ake akatambanudzirwa kudenga.+ 55 Akabva amira akakomborera ungano yese yaIsraeri nenzwi guru, achiti: 56 “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa vanhu vake vaIsraeri nzvimbo yekuzororera, sezvaakavimbisa.+ Hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana pavimbiso dzese dzakanaka dzaakaita achishandisa muranda wake Mozisi.+ 57 Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaakava nemadzitateguru edu.+ Ngaarege kutisiya kana kutirasa.+ 58 Ngaaite kuti mwoyo yedu imude,+ kuti tifambe munzira dzake dzese uye kuti tichengete mirayiro yake, mirau yake, nezvaakatonga, zvaakarayira madzitateguru edu kuti achengete. 59 Mashoko angu ese aya andateterera nawo kunzwirwa nyasha naJehovha ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati neusiku, kuti aitire zvakanaka muranda wake nevanhu vake vaIsraeri sezvinenge zvichidiwa zuva nezuva, 60 kuti vanhu vese vepanyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari+ wechokwadi. Hakuna mumwe!+ 61 Saka mwoyo yenyu ngainyatsozvipira+ kuna Jehovha Mwari wedu nekufamba mumirau yake uye nekuchengeta mirayiro yake sezvazvakaita nhasi.”

62 Mambo nevaIsraeri vese vaaiva navo vakabva vapa chibayiro chikuru pamberi paJehovha.+ 63 Soromoni akapa zvibayiro zverugare+ kuna Jehovha: Akabayira mombe 22 000 nemakwai 120 000. Saka mambo nevaIsraeri vese vakakumikidza imba yaJehovha.+ 64 Pazuva iroro mambo akatsvenesa pakati pechivanze chiri pamberi peimba yaJehovha, nekuti ipapo ndipo paakanga ava kuda kupira zvibayiro zvinopiswa, mipiro yezviyo* nemafuta ezvibayiro zverugare, nekuti atari yemhangura+ iri pamberi paJehovha yaiva diki zvekuti yakanga isingakwani zvibayiro zvinopiswa, mipiro yezviyo nemafuta+ ezvibayiro zverugare. 65 Panguva iyoyo Soromoni akaita mutambo+ aine vaIsraeri vese, ungano huru yevanhu vakauya vachibva kuRebhohamati* kusvika kuRwizi* rweIjipiti,+ pamberi paJehovha Mwari wedu kwemazuva 7 nemamwe mazuva 7, ese akaita mazuva 14. 66 Pazuva rakatevera,* akaita kuti vanhu vaende, uye vakakomborera mambo vakaenda kudzimba dzavo vachifara chaizvo uye vaine mwoyo yaifara, vachifarira zvakanaka zvese+ zvakanga zvaitwa naJehovha kumuranda wake Dhavhidhi nevanhu vake vaIsraeri.

9 Soromoni paakangopedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo*+ nezvinhu zvese zvaaida kugadzira,+ 2 Jehovha akazviratidza kuna Soromoni kechipiri, sezvaakanga amboita muGibhiyoni.+ 3 Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chekuti unzwirwe nyasha chawaita pamberi pangu. Ndatsvenesa imba iyi yawakavaka nekuisa zita rangu pairi nekusingaperi,+ uye maziso angu nemwoyo wangu zvichagara zviri pairi.+ 4 Kana iwe ukafamba pamberi pangu, sekufamba kwakaita baba vako Dhavhidhi,+ nemwoyo wakaperera kwandiri,+ nekururama,+ uchiita zvese zvandakakurayira,+ uye kana ukateerera mirau yangu nemitongo yangu,+ 5 ndichasimbisa chigaro cheumambo hwako pana Israeri nekusingaperi, sezvandakavimbisa baba vako Dhavhidhi, ndichiti, ‘Hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri.’+ 6 Asi kana imi nevanakomana venyu mukarega kunditevera, uye mukasachengeta mirayiro yangu nemirau yangu yandakaisa pamberi penyu, moenda kunoshumira vamwe vanamwari, movakotamira,+ 7 ndichaparadza vaIsraeri panyika yandakavapa,+ uye ndicharasira kure neni imba yandakatsvenesera zita rangu,+ uye vaIsraeri vachava chiseko* uye vachashorwa pakati pemarudzi ese.+ 8 Imba iyi ichasara yangova matongo.+ Munhu wese anopfuura nepairi acharamba akatarisa achishamisika uye acharidza muridzo oti, ‘Nei Jehovha akaita zvakadai panyika iyi nepaimba iyi?’+ 9 Ivo vachabva vati, ‘Imhaka yekuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akanga abudisa madzitateguru avo munyika yeIjipiti, vakatanga kunamata vamwe vanamwari, vakavakotamira nekuvashumira. Ndokusaka Jehovha akavaunzira dambudziko rese iri.’”+

10 Pakazopera makore 20, Soromoni akanga avaka dzimba mbiri, imba yaJehovha neimba yamambo,*+ 11 uye Hiramu+ mambo weTire akanga apa Soromoni matanda emisidhari neemijunipa negoridhe rese raaida,+ saka Mambo Soromoni akapa Hiramu maguta 20 munyika yeGarireya. 12 Saka Hiramu akabva kuTire kuti anoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kugutsikana nawo.* 13 Akati: “Hama yangu, maguta erudzii aya awandipa?” Saka maguta acho akatumidzwa kuti Nyika yeKabhuri* uye ndiro zita rawo nanhasi. 14 Munguva iyi, Hiramu akatumira mambo matarenda* 120 egoridhe.+

15 Iyi ndiyo nhoroondo yevaya vakatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa+ naMambo Soromoni kuti vavake imba yaJehovha,+ imba yake,* Murwi Wevhu,*+ rusvingo rweJerusarema, Hazori,+ Megidho,+ neGezeri.+ 16 (Farao mambo weIjipiti akanga auya, akatora Gezeri, akaripisa nemoto, uye akanga aurayawo vaKenani+ vaigara muguta racho. Saka akapa guta racho kumwanasikana wake,+ mudzimai waSoromoni sechipo chekuonekana.*) 17 Soromoni akavaka* Gezeri, Bheti-horoni Yezasi,+ 18 Bhaarati,+ neTamari yaiva murenje, munyika yacho, 19 nemaguta ese aSoromoni ekuchengetera zvinhu, nemaguta engoro,+ nemaguta evatasvi vemabhiza, nezvinhu zvese zvaida kuvakwa naSoromoni muJerusarema, muRebhanoni nemunyika yese yaaitonga. 20 Asi kana vari vanhu vese vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ avo vakanga vasiri vaIsraeri,+ 21 zvizvarwa zvavo izvo zvakanga zvasara munyika yacho, vaya vakatadza kuparadzwa nevaIsraeri, vakatorwa naSoromoni kuti vaite basa rekumanikidzwa sevaranda kusvikira nhasi.+ 22 Asi Soromoni haana waakaita muranda pavaIsraeri,+ nekuti vaiva varwi vake, nevashandi vake, nemachinda ake, nemakurukota ake, nevakuru vevatyairi vake vengoro nevevatasvi vake vemabhiza. 23 Paiva nevakuru vevatariri 550 vaitungamirira basa raSoromoni, avo vaiva maforomani evanhu vaiita basa.+

24 Asi mwanasikana waFarao+ akabva muGuta raDhavhidhi,+ akaenda kuimba yake yaakanga avakirwa naSoromoni; Soromoni akabva agadzira Murwi Wevhu.*+

25 Soromoni aipa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare katatu pagore+ paatari yaakanga avakira Jehovha,+ uyewo aikwidza utsi hwezvibayiro paatari yaiva pamberi paJehovha, uye akapedza imba yacho.+

26 Mambo Soromoni akagadzirawo ngarava dzakawanda muEziyoni-gebheri,+ iri pedyo neEroti, pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku munyika yeEdhomu.+ 27 Hiramu akatuma varanda vake nengarava dzacho,+ avo vaiziva nezvemugungwa, kuti vashande pamwe chete nevashandi vaSoromoni. 28 Vakaenda kuOfiri+ vakanotora goridhe raisvika matarenda 420 ikoko, vakauya naro kuna Mambo Soromoni.

10 Mambokadzi weShebha akanzwa mashoko pamusoro paSoromoni ane chekuita nezita raJehovha,+ saka akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma.*+ 2 Akasvika muJerusarema aine vanhu vakawanda vaimuperekedza+ nengamera dzakanga dzakatakura mafuta ebharisamu+ negoridhe rakawanda chaizvo nematombo anokosha. Akapinda maiva naSoromoni akamubvunza zvese zvaiva mumwoyo make. 3 Soromoni akabva amupindura mibvunzo yake yese. Hapana chakanga chakaomera* mambo kuti amutsanangurire.

4 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwese hwaSoromoni,+ neimba yaakavaka,+ 5 nezvekudya zvaiiswa patafura yake,+ nekugara kwevashandi vake patafura, nebasa revashandi vake vaiuya nezvekudya patafura, nezvipfeko zvavo, nevadiri vake, nezvibayiro zvake zvinopiswa zvaaigara achipa paimba yaJehovha, akashaya neremuromo.* 6 Saka akati kuna mambo: “Mashoko andakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu pamusoro pemabasa amakaita* uye pamusoro peuchenjeri hwenyu aiva echokwadi. 7 Asi handina kutenda mashoko acho kusvikira ndauya ndikazvionera nemaziso angu. Zvandakaudzwa hazvitombosviki pahafu yezvandaona. Uchenjeri nekubudirira kwenyu zvinopfuura nekure mashoko andakanzwa. 8 Vanofara varume vanoita basa renyu, uye vanofara vashandi venyu vanomira pamberi penyu nguva dzese, vachiteerera uchenjeri hwenyu!+ 9 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe,+ uyo akakufarirai akakugadzai pachigaro cheumambo chaIsraeri. Rudo rwaJehovha kuna Israeri haruperi, ndokusaka akakugadzai kuva mambo kuti mutonge zvakanaka uye zvakarurama.”

10 Akabva apa mambo matarenda* 120 egoridhe nemafuta ebharisamu+ akawanda chaizvo nematombo anokosha+ akawanda chaizvo. Hakuna kuzombounzwa mafuta ebharisamu akawanda seakapiwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha.

11 Ngarava dzaHiramu idzo dzaitakura goridhe kubva kuOfiri+ dzaiuyawo nematanda emiarigamu+ akawanda chaizvo nematombo anokosha.+ 12 Achishandisa matanda acho emiarigamu, mambo akagadzira mbiru dzeimba yaJehovha nedzeimba yamambo,* uyewo udimbwa nezviridzwa zvine tambo zvevaimbi.+ Matanda emiarigamu akadaro haana kuzombounzwazve kana kuonekwa kusvikira nhasi.

13 Mambo Soromoni akapawo mambokadzi weShebha zvese zvaaida uye zvaakakumbira, tisingabatanidzi zvaakamupa asina kukumbira.* Pashure paizvozvo, akasimuka akadzokera kunyika yake, pamwe chete nevaranda vake.+

14 Uremu hwegoridhe raiuya kuna Soromoni mugore rimwe chete hwaiva matarenda 666,+ 15 tisingabatanidzi raibva kuvanhu vaifamba vachitengesa uye remubereko waibva kune vamwe vaiita zvekuchinjanisa zvinhu uyewo raibva kumadzimambo ese evaArabhu nemagavhuna enyika.

16 Mambo Soromoni akagadzira nhoo huru 200 achishandisa goridhe rakanga rakasanganiswa nedzimwe simbi+ (nhoo imwe neimwe yakaiswa mashekeri* 600 egoridhe)+ 17 nenhoo diki* 300 dzegoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi (nhoo diki imwe neimwe yakaiswa mamaina* matatu egoridhe). Mambo akabva adziisa muImba yeSango reRebhanoni.+

18 Mambo akagadzirawo chigaro chikuru cheumambo nenyanga dzenzou,+ akachiisa goridhe rakanatswa.+ 19 Paiva nemasitepisi 6 aikwira kuchigaro chacho, uye nechekumashure kwacho chaiva nedenga rakaita raundi, uye kumativi ese echigaro chacho kwaiva nezvekutsamidzira maoko, uye shumba mbiri+ dzakanga dzakamira pedyo nezvekutsamidzira maoko. 20 Paiva neshumba 12 dzakanga dzakamira pamasitepisi acho 6, sitepi rimwe nerimwe riine shumba kumativi aro maviri pamasitepisi acho ese 6. Hapana humwe umambo hwakanga hwambogadzira chigaro chakadaro.

21 Midziyo yese yekunwira yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye midziyo yese yeImba yeSango reRebhanoni+ yaiva yegoridhe rakanatswa. Pakanga pasina chakagadzirwa nesirivha, nekuti sirivha yaisamboonekwa sechinhu mumazuva aSoromoni.+ 22 Nekuti mambo aiva nengarava dzeTashishi+ dzakawanda dzaiva mugungwa pamwe chete nengarava dzaHiramu. Kamwe chete pamakore matatu ega ega, ngarava dzacho dzeTashishi dzaiuya dzakatakura goridhe, sirivha, nyanga dzenzou,+ tsoko, nemapikoko.

23 Saka Mambo Soromoni aiva nepfuma+ neuchenjeri+ kupfuura mamwe madzimambo ese epanyika. 24 Uye vanhu vese vepanyika vaida kutaura naSoromoni* kuti vanzwe uchenjeri hwake, hwakanga hwaiswa mumwoyo make naMwari.+ 25 Mumwe nemumwe aiuya nechipo: zvinhu zvesirivha, zvinhu zvegoridhe, nguo, zvombo, mafuta ebharisamu, mabhiza nemanyurusi, uye izvi zvairamba zvichiitika gore negore.

26 Soromoni akaramba achiunganidza ngoro nemabhiza;* aiva nengoro 1 400 nemabhiza* 12 000,+ uye akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro uye pedyo namambo muJerusarema.+

27 Mambo akaita kuti sirivha yaiva muJerusarema iwande sematombo, uye akaita kuti matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi iri muShefera.+

28 Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti, uye boka revatengesi vamambo rainotenga mabhiza* acho akawanda richibhadhara mutengo waaitengeswa nawo.+ 29 Ngoro imwe neimwe yaitengwa kuIjipiti yaiita masirivha 600, uye bhiza raiita 150; vaibva vazvitengesa kumadzimambo ese evaHiti+ nemadzimambo eSiriya.

11 Asi Mambo Soromoni aida madzimai mazhinji ekune dzimwe nyika,+ tisingabatanidzi mwanasikana waFarao:+ aida vakadzi vechiMoabhi,+ vechiAmoni,+ vechiEdhomu, vechiSidhoni+ nevechiHiti.+ 2 Vaiva vemarudzi akanga anzi nezvawo naJehovha kuvaIsraeri: “Regai kupinda pakati pawo,* uye iwo ngaarege kupinda pakati penyu, nekuti chokwadi achaita kuti mwoyo yenyu itevere vanamwari vawo.”+ Asi Soromoni haana kuda kusiyana navo uye aivada. 3 Aiva nemadzimai 700 aiva nezvinzvimbo zvepamusoro, nevarongo 300, uye madzimai ake akatsausa mwoyo wake zvishoma nezvishoma. 4 Soromoni paakanga akwegura,+ madzimai ake akatsausa mwoyo wake ukatevera vamwe vanamwari,+ uye mwoyo wake wakanga usina kuperera* kuna Jehovha Mwari wake semwoyo wababa vake Dhavhidhi. 5 Uye Soromoni akatevera Ashtoreti,+ mwarikadzi wevaSidhoni, naMirikomu,+ mwari anosemesa wevaAmoni. 6 Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha, uye haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi.+

7 Panguva iyoyo Soromoni akavakira Kemoshi mwari anosemesa wevaMoabhi nzvimbo yakakwirira+ pagomo rakatarisana neJerusarema, uye akavakirawo Moreki,+ mwari anosemesa wevaAmoni.+ 8 Ndizvo zvaakaitira madzimai ake ese ekune dzimwe nyika aikwidzira vanamwari vawo utsi hwezvibayiro, achibayira kwavari.

9 Jehovha akatsamwira Soromoni kwazvo, nekuti mwoyo wake wakanga watsauka pana Jehovha Mwari waIsraeri,+ uyo akanga azviratidza kwaari kaviri+ 10 uye akanga amuyambira nezvenyaya iyi, kuti asatevera vamwe vanamwari.+ Asi haana kuteerera zvakanga zvarayirwa naJehovha. 11 Jehovha akabva ati kuna Soromoni: “Nemhaka yekuti waita izvi, uye hauna kuchengeta sungano yangu nemirau yangu sezvandakakurayira, chokwadi ndichabvarura umambo ndichihubvisa kwauri, uye ndichahupa mumwe wevaranda vako.+ 12 Zvisinei, ndichifunga nezvababa vako Dhavhidhi, handizozviiti uchiri mupenyu. Ndichahubvarura ndichihubvisa muruoko rwemwanakomana wako,+ 13 asi handizobvaruri umambo hwacho hwese+ ndichihubvisa kwaari. Ndichapa mwanakomana wako dzinza rimwe chete,+ ndichifunga muranda wangu Dhavhidhi uyewo Jerusarema randakasarudza.”+

14 Jehovha akabva aita kuti pave nemunhu aipikisa Soromoni,+ Hadhadhi muEdhomu weimba yeumambo yeEdhomu.+ 15 Dhavhidhi paakakunda Edhomu,+ Joabhi mukuru weuto akaenda kunoviga vaya vakanga vaurayiwa, uye akaedza kuuraya vanhurume vese vaiva muEdhomu. 16 (Nekuti Joabhi nevaIsraeri vese vakagara imomo kwemwedzi 6 kusvikira aparadza vanhurume vese muEdhomu.) 17 Asi Hadhadhi akatiza nevamwe vaEdhomu, vaiva vashandi vababa vake, vachibva vaenda kuIjipiti; panguva iyoyo Hadhadhi akanga achiri mukomana wechidiki. 18 Saka vakasimuka vachibva muMidhiyani, vakasvika kuParani. Vakatora varume kuParani+ vakaenda kuIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti, uyo akabva amupa imba, akaita kuti agare achipiwa zvekudya, uye akamupawo nzvimbo yekugara. 19 Farao akanzwira nyasha Hadhadhi, zvekuti akamupa munin’ina wemudzimai wake mambokadzi* Tapenesi, kuti ave mudzimai wake. 20 Nekufamba kwenguva, munin’ina waTapenesi akamuberekera mwanakomana ainzi Genubhati, uye Tapenesi akamurerera* muimba yaFarao, uye Genubhati akaramba ari muimba yaFarao pakati pevanakomana vaFarao.

21 Hadhadhi akanzwa ari muIjipiti kuti Dhavhidhi akanga aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake+ uye kuti Joabhi mukuru weuto akanga afa.+ Saka Hadhadhi akati kuna Farao: “Ndibvumirei kuenda kunyika yangu.” 22 Asi Farao akati kwaari: “Washayei kuno kwandiri zvawava kuda kuenda kunyika yako?” Iye akati: “Hapana, asi ndapota ndiregei ndiende.”

23 Mwari akaitawo kuti pave nemumwezve munhu aipikisa Soromoni,+ Rezoni mwanakomana waEriyadha, uyo akanga atiza ishe wake Hadhadhezeri+ mambo weZobha. 24 Akaunganidza varume, akava mukuru weboka revapambi, Dhavhidhi paakakunda* vanhu vekuZobha.+ Saka vakaenda kuDhamasiko+ vakagara ikoko, vakatanga kutonga muDhamasiko. 25 Akapikisa vaIsraeri mazuva ese aSoromoni, kuwedzera pakupikiswa kwavakaitwa naHadhadhi, uye aivenga vaIsraeri chaizvo panguva yaaitonga Siriya.

26 Uye kwaiva naJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, muEfremu wekuZeredha, mushandi waSoromoni,+ aiva naamai vainzi Zerua, avo vaiva chirikadzi. Naiyewo akatanga kupandukira mambo.+ 27 Izvi ndizvo zvakaita kuti apandukire mambo: Soromoni akanga agadzira Murwi Wevhu,*+ uye akanga avhara pakanga pakavhurika paguta rababa vake Dhavhidhi.+ 28 Jerobhoamu aiva murume aigona basa. Soromoni paakaona kuti jaya racho raishanda nesimba, akarigadza kuva mutariri+ webasa rese rekumanikidzwa reimba yaJosefa. 29 Panguva iyoyo Jerobhoamu akabuda muJerusarema, uye muprofita Ahija+ wekuShiro akamuwana ari mumugwagwa. Ahija akanga akapfeka nguo itsva, uye vaviri vacho vaiva vega musango. 30 Ahija akabata nguo yacho itsva yaakanga akapfeka akaibvarura kuita zvidimbu 12. 31 Akabva ati kuna Jerobhoamu:

“Tora zvidimbu gumi, nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Ndiri kubvarura umambo kuti hubve muruoko rwaSoromoni, uye ndichakupa madzinza gumi.+ 32 Asi dzinza rimwe chete richaramba riri rake+ nekuda kwemuranda wangu Dhavhidhi+ uye nekuda kweJerusarema, guta randakasarudza pamadzinza ese aIsraeri.+ 33 Ndichaita izvi nekuti vakandisiya+ uye vari kukotamira Ashtoreti mwarikadzi wevaSidhoni, Kemoshi mwari weMoabhi, naMirikomu mwari wevaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu vachiita zvakarurama pamberi pangu nekuchengeta mirau yangu nemitongo yangu sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. 34 Asi handizobvisi umambo hwacho hwese muruoko rwake, uye ndichaita kuti arambe ari jinda mazuva ese eupenyu hwake, ndichiitira muranda wangu Dhavhidhi wandakasarudza,+ nekuti akachengeta mirayiro yangu nemirau yangu. 35 Asi ndichabvisa umambo muruoko rwemwanakomana wake ndohupa kwauri, kureva madzinza gumi.+ 36 Ndichapa mwanakomana wake dzinza rimwe chete, kuti muranda wangu Dhavhidhi agare aine rambi pamberi pangu nguva dzese muJerusarema,+ guta randakasarudza kuti rive nzvimbo yekuisa zita rangu. 37 Ndichakusarudza, uye uchatonga zvese zvaunoda,* uye uchava mambo weIsraeri. 38 Kana ukateerera zvese zvandinokurayira wofamba munzira dzangu, woita zvakarurama pamberi pangu uchiteerera mirau yangu nemirayiro yangu, sezvakaitwa nemuranda wangu Dhavhidhi,+ ndichavawo newe. Ndichakuvakira imba inogara kwenguva yakareba, sekuvakira kwandakaita Dhavhidhi,+ uye ndichakupa Israeri. 39 Ndichanyadzisa vana vaDhavhidhi nemhaka yeizvi,+ asi kwete nguva dzese.’”+

40 Saka Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoamu, asi Jerobhoamu akatizira kuIjipiti, kuna Shishaki+ mambo weIjipiti,+ uye akaramba ari muIjipiti kusvikira Soromoni afa.

41 Kana iri nhoroondo yese yaSoromoni, zvese zvaakaita uye uchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yaSoromoni?+ 42 Soromoni akaita makore 40 achitonga Israeri yese ari muJerusarema. 43 Soromoni akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muguta rababa vake Dhavhidhi; uye mwanakomana wake Rehobhoamu+ akava mambo panzvimbo pake.

12 Rehobhoamu akaenda kuShekemu,+ nekuti vaIsraeri vese vakanga vaenda kuShekemu kuti vamugadze kuti ave mambo.+ 2 Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akanzwa nezvazvo (Jerobhoamu akanga achiri kuIjipiti nekuti akanga atiza Mambo Soromoni uye akanga achigara muIjipiti).+ 3 Vakabva vatumira shoko kuti anoshevedzwa. Jerobhoamu akabva aenda neungano yese yaIsraeri kuna Rehobhoamu vakati: 4 “Baba venyu vakaita kuti joko redu rirwadze.+ Asi kana mukaita kuti basa rinorwadza rataiitiswa nababa venyu rive nyore uye mukarerutsa joko rinorema* ravakaisa patiri, tichakushandirai.”

5 Iye akabva ati kwavari: “Endai mozodzoka kwandiri papera mazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda.+ 6 Mambo Rehobhoamu akabva abvunza varume vakuru* vakanga vashandira baba vake Soromoni pavakanga vachiri vapenyu, achiti: “Mungandipa zano ripi rekuti ndipindure vanhu ava?” 7 Vakamupindura vachiti: “Nhasi kana ukava muranda wevanhu ava wonzwa chikumbiro chavo uye wovapindura zvakanaka, vachagara vari varanda vako.”

8 Zvisinei, haana kuteerera zano raakapiwa nevarume vakuru,* akanobvunza majaya aakakura nawo, akanga ava kumushandira.+ 9 Akavabvunza kuti: “Nderipi zano ramungapa kuti tipindure vanhu ava vati kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa patiri nababa venyu’?” 10 Majaya acho aakanga akura nawo akati kwaari: “Izvi ndizvo zvaunofanira kuudza vanhu ava vati kwauri, ‘Baba venyu vakaita kuti joko redu rireme, asi imi tirerutsirei’; vaudze kuti, ‘Munwe wangu mudiki uchava mukobvu kupfuura hudyu dzababa vangu. 11 Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu. Baba vangu vaikurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.’”

12 Jerobhoamu nevanhu vese vakaenda kuna Rehobhoamu pazuva rechitatu, sezvakanga zvataurwa namambo kuti: “Dzokai kwandiri pazuva rechitatu.”+ 13 Asi mambo akapindura vanhu nehasha, achirega kuteerera zano raakanga apiwa nevarume vakuru.* 14 Akataura navo achitevedzera zano remajaya, achiti: “Baba vangu vakaita kuti joko renyu rireme, asi ini ndichaita kuti riwedzere kurema. Baba vangu vakakurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.” 15 Saka mambo haana kuteerera vanhu, nekuti Jehovha ndiye akaita kuti zvinhu zviende nenzira iyoyo,+ kuti azadzise shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuburikidza naAhija+ wekuShiro.

16 VaIsraeri vese pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vachiti: “Tine mugove wei kuna Dhavhidhi? Hatina nhaka kumwanakomana waJese. Imi vaIsraeri, endai kuna vanamwari venyu. Chizvichengetera imba yako, iwe Dhavhidhi!” VaIsraeri vakabva vadzokera kudzimba* dzavo.+ 17 Asi Rehobhoamu akaramba achitonga vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha.+

18 Mambo Rehobhoamu akabva atuma Adhoramu,+ uyo aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa, asi vaIsraeri vese vakamutema nematombo vakamuuraya. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kukwira mungoro yake kuti atizire kuJerusarema.+ 19 Saka vaIsraeri vakapandukira+ imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

20 VaIsraeri vese pavakangonzwa kuti Jerobhoamu akanga adzoka, vakamushevedza kwaiva neungano, vakamugadza kuva mambo wevaIsraeri vese.+ Pavanhu vese hapana akatevera imba yaDhavhidhi kunze kwedzinza raJudha.+

21 Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, akabva angounganidza imba yese yaJudha nedzinza raBhenjamini, varwi 180 000 vakadzidziswa hondo, kuti vanorwisa imba yaIsraeri vodzosa umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.+ 22 Shoko raMwari wechokwadi rakabva rasvika kuna Shemaya+ munhu waMwari wechokwadi, richiti: 23 “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha nekuimba yese yaJudha naBhenjamini nevamwe vanhu vese, 24 ‘Zvanzi naJehovha: “Musaenda kunorwisa hama dzenyu vaIsraeri. Mumwe nemumwe wenyu ngaadzokere kumba kwake, nekuti ndini ndakaita kuti zvidaro.”’”+ Saka vakateerera shoko raJehovha, vakadzokera kumba sezvavakanga vaudzwa naJehovha.

25 Jerobhoamu akabva avaka* Shekemu+ munyika ine makomo yaEfremu akagaramo. Akabva ikoko akanovaka* Penueri.+ 26 Jerobhoamu akati nechemumwoyo: “Iye zvino umambo hwava kudzokera kuimba yaDhavhidhi.+ 27 Kana vanhu ava vakaramba vachienda kunopa zvibayiro kuimba yaJehovha iri kuJerusarema,+ mwoyo yevanhu ava ichadzokerawo kunashe wavo, Mambo Rehobhoamu waJudha. Chokwadi vachandiuraya, vodzokera kuna Mambo Rehobhoamu weJudha.” 28 Pashure pekunge mambo abvunza mazano kune vamwe, akagadzira mhuru mbiri dzegoridhe,+ akati kuvanhu: “Zvekuenda kuJerusarema zviri kukuremerai. Heuno Mwari wenyu, imi vaIsraeri, uyo akakubudisai munyika yeIjipiti.”+ 29 Akabva aisa imwe mhuru kuBheteri,+ uye imwe yacho akaiisa kuDhani.+ 30 Izvi zvakaita kuti vatadze,+ uye vanhu vakatosvika kuDhani vachinonamata mhuru yaiva ikoko.

31 Akavaka dzimba dzekunamatira panzvimbo dzakakwirira akagadza vapristi kubva pavanhuwo zvavo, vakanga vasiri vaRevhi.+ 32 Jerobhoamu akaitawo kuti pave nemutambo waiitwa mumwedzi wechi8 pazuva rechi15 remwedzi wacho, wakafanana nemutambo waiitwa muJudha.+ Paatari yaakagadzira kuBheteri,+ akapa zvibayiro kumhuru dzaakanga agadzira uye akagadza vapristi kuBheteri kuti vashumire panzvimbo dzakakwirira dzaakanga agadzira. 33 Akatanga kupa mipiro paatari yaakanga agadzira kuBheteri, pazuva rechi15 remwedzi wechi8, mumwedzi waakanga angosarudza ega; akaita kuti pave nemutambo waiitwa nevaIsraeri, uye akakwira paatari yacho kuti ape mipiro nekukwidza utsi hwezvibayiro.

13 Zvino munhu waMwari+ akabva kuJudha akaenda kuBheteri arayirwa naJehovha, panguva yakanga yakamira Jerobhoamu pedyo neatari+ kuti akwidze utsi hwezvibayiro. 2 Akabva ashevedzera kuatari maererano nezvaakanga audzwa naJehovha achiti: “Haiwa iwe atari, iwe atari! Zvanzi naJehovha, ‘Imba yaDhavhidhi ichaberekerwa mwanakomana anonzi Josiya!+ Achabayira pauri vapristi venzvimbo dzakakwirira, avo vari kukwidza utsi hwezvibayiro pauri, uye achapisa mapfupa evanhu pauri.’”+ 3 Akapa chiratidzo zuva iroro, achiti: “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Atari ichatsemuka, uye madota* ari pairi acharasika.”

4 Mambo paakangonzwa shoko rakanga rashevedzerwa nemunhu waMwari wechokwadi nezveatari yaiva muBheteri, Jerobhoamu akatambanudza ruoko rwake ruchibva paatari, akati: “Mubatei!”+ Ruoko rwake rwaakanga amutambanudzira rwakabva rwangooma, uye akanga asisakwanisi kurudzosa.+ 5 Atari yacho yakabva yatsemuka uye madota akarasika achibva paatari maererano nechiratidzo chakanga chapiwa nemunhu waMwari wechokwadi audzwa naJehovha.

6 Mambo akabva ati kumunhu waMwari wechokwadi: “Ndapota, teterera kuti Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere kuti ruoko rwangu ruporeswe.”+ Munhu waMwari wechokwadi akabva ateterera kuti Jehovha amunzwire nyasha, uye ruoko rwamambo rwakadzokera kuita zvarwakanga rwakaita. 7 Mambo akabva ati kumunhu waMwari wechokwadi: “Handei tese kumba kuti unodya, uye kuti ndinokupa chipo.” 8 Asi munhu waMwari wechokwadi akati kuna mambo: “Kunyange dai maizondipa hafu yeimba yenyu, ndaisazoenda nemi kunodya kana kunonwa mvura munzvimbo ino. 9 Nekuti izvi ndizvo zvandakarayirwa neshoko raJehovha: ‘Usadya zvekudya kana kunwa mvura, uye usadzokera nenzira yawauya nayo.’” 10 Saka akaenda neimwe nzira, haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.

11 Kwaiva nemumwe muprofita akanga akwegura aigara muBheteri, uye vanakomana vake vakasvika kumba vakamuudza zvinhu zvese zvakanga zvaitwa nemunhu waMwari wechokwadi zuva iroro muBheteri nemashoko aakanga ataura kuna mambo. Pavakaudza baba vavo, 12 baba vavo vakavabvunza kuti: “Aenda nekupi?” Saka vanakomana vake vakamuratidza nzira yakanga yaenda nemunhu waMwari wechokwadi wekuJudha. 13 Akabva ati kuvanakomana vake: “Ndiisirei chigaro padhongi.” Vakamuisira chigaro padhongi, akabva aritasva.

14 Akatevera munhu waMwari wechokwadi, akamuwana akagara pasi pemumwe muti muhombe. Akabva ati kwaari: “Ndiwe munhu waMwari wechokwadi akabva kuJudha here?”+ Iye akati: “Ndini.” 15 Akati kwaari: “Handei tese kumba unodya.” 16 Asi iye akati: “Handikwanisi kudzokera nemi kana kubvuma kukokwa nemi, uye handingadyi zvekudya kana kunwa mvura nemi munzvimbo ino. 17 Nekuti shoko raJehovha rakati kwandiri, ‘Usadya zvekudya kana kunwa mvura ikoko. Usadzokera nenzira yawauya nayo.’” 18 Iye akati kwaari: “Iniwo ndiri muprofita sewe, uye ngirozi yandiudza shoko raJehovha ichiti, ‘Dzoka naye kumba kwako kuti adye zvekudya nekunwa mvura.’” (Akamunyengedza.) 19 Saka akadzokera naye kuti adye zvekudya nekunwa mvura mumba make.

20 Pavakanga vakagara patafura, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita akanga amudzosa, 21 uye akashevedzera kumunhu waMwari wechokwadi aibva kuJudha achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Nekuti wapandukira zvakarayirwa naJehovha uye hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako, 22 ukadzoka kuti udye zvekudya nekunwa mvura munzvimbo yawakaudzwa nezvayo kuti, “Usadya zvekudya kana kunwa mvura,” chitunha chako hachizopindi muguva remadzitateguru ako.’”+

23 Munhu waMwari wechokwadi paakapedza kudya nekunwa, muprofita akanga akwegura akaisira muprofita waakanga adzosa chigaro padhongi. 24 Akabva asimuka akaenda, asi akasangana neshumba mumugwagwa, ikamuuraya.+ Chitunha chake chakakandwa mumugwagwa, uye dhongi rakamira pedyo nacho; uye shumba yacho yakanga yakamirawo pedyo nechitunha chacho. 25 Vamwe varume vakapfuura nepo, vakaona chitunha chacho chiri mumugwagwa, shumba yacho yakamira pedyo nechitunha chacho. Vakaenda vakanozvitaura muguta maigara muprofita akanga akwegura.

26 Muprofita akanga amudzosa pamugwagwa paakazvinzwa, akabva ati: “Ndiye munhu waMwari wechokwadi uya akapandukira zvakarayirwa naJehovha;+ saka Jehovha aita kuti asangane neshumba, kuti imubvambure yomuuraya, maererano neshoko raJehovha raakataura kwaari.”+ 27 Akabva ati kuvanakomana vake: “Ndiisirei chigaro padhongi.” Saka vakachiisa. 28 Akabva aenda, akawana chitunha chacho chiri mumugwagwa, dhongi neshumba zvakamira pedyo nacho. Shumba yacho yakanga isina kudya chitunha chacho, uyewo yakanga isina kubvambura dhongi racho. 29 Muprofita wacho akasimudza mutumbi wemunhu waMwari wechokwadi ndokuuisa padhongi, akadzokera naye kuguta rake kuti amucheme uye amuvige. 30 Saka akaisa mutumbi wacho muguva rake, uye vakaramba vachimuchema vachiti: “Maiwee, hama yangu kani!” 31 Apedza kumuviga, akati kuvanakomana vake: “Kana ndafa mundivige muguva rimwe chete nemunhu waMwari wechokwadi. Isai mapfupa angu pedyo nemapfupa ake.+ 32 Shoko raJehovha raakashevedzera nezveatari iri muBheteri uye nezvedzimba dzese dzekunamatira dziri panzvimbo dzakakwirira+ mumaguta eSamariya richatoitika.”+

33 Kunyange pashure pekunge izvi zvaitika, Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi akaramba achigadza vapristi venzvimbo dzakakwirira kubva pavanhuwo zvavo.+ Chero munhu aingodawo hake aimugadza kuva mupristi* achiti: “Ngaave mumwe wevapristi venzvimbo dzakakwirira.”+ 34 Chivi ichi chakaitwa neimba yaJerobhoamu+ chakaita kuti vazoparadzwa uye vatsvairwe vese panyika.+

14 Panguva iyoyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu akarwara. 2 Saka Jerobhoamu akati kumudzimai wake: “Ndapota, simuka uchinje nguo dzako kuti vanhu varege kuziva kuti uri mudzimai waJerobhoamu, uende kuShiro. Muprofita Ahija ari ikoko. Ndiye akataura kuti ndichava mambo wevanhu ava.+ 3 Tora zvingwa gumi, makeke, nemudziyo une uchi, uende kwaari. Achabva akuudza zvichaitika kumwanakomana wedu.”

4 Mudzimai waJerobhoamu akaita zvaakaudzwa. Akasimuka, akaenda kuShiro,+ akasvika kumba kwaAhija. Maziso aAhija akanga akangovhurika asi asisaoni chinhu nemhaka yezera rake.

5 Asi Jehovha akanga ati kuna Ahija: “Mudzimai waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza pamusoro pemwanakomana wake, nekuti ari kurwara. Ndichakuudza zvaunofanira kumuudza.* Paachasvika, achaita kuti asazivikanwa kuti ndiani.”

6 Ahija paakangonzwa mutsindo wetsoka dzake paaipinda pasuo, akati: “Pinda, iwe mudzimai waJerobhoamu. Nei usiri kuda kuzivikanwa kuti ndiwe ani? Ndaudzwa kuti ndikuzivise mashoko anorwadza. 7 Enda unoti kuna Jerobhoamu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Ndakakusarudza pakati pevanhu vako kuti uve mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.+ 8 Ndakabva ndabvarura umambo kubva kuimba yaDhavhidhi, ndikakupa.+ Asi hauna kuita semuranda wangu Dhavhidhi, uyo akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nemwoyo wake wese, achiita zvakarurama chete pamberi pangu.+ 9 Asi wakaita zvakaipa kupfuura vese vakakutangira, ukazvigadzirira mumwe mwari uye mifananidzo yesimbi* kuti undigumbure,+ uye ini ndini wawakafuratira.+ 10 Nemhaka yeizvi ndiri kuunza dambudziko paimba yaJerobhoamu, uye ndichaparadza vanhurume vese* vekwaJerobhoamu, kusanganisira varombo nevasina simba muIsraeri, uye ndichatsvaira imba yaJerobhoamu,+ sezvinoita munhu anotsvaira ndove kusvikira yabviswa yese! 11 Munhu wese wekwaJerobhoamu anofira muguta, achadyiwa nembwa; uye wese anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga, nekuti Jehovha azvitaura.”’

12 “Zvino simuka; enda kumba kwako. Pauchapinda muguta, mwana achabva afa. 13 VaIsraeri vese vachamuchema, vomuviga, nekuti iye chete pamhuri yaJerobhoamu ndiye acharadzikwa muguva, nekuti muimba yaJerobhoamu ndiye chete awanikwa aine chimwe chinhu chakanaka maari naJehovha Mwari waIsraeri. 14 Jehovha achaita kuti pave namambo weIsraeri achaparadza imba yaJerobhoamu+ kubva zuva iroro zvichienda mberi, uye anogona kutozviita iye zvino. 15 Jehovha acharova Israeri setsanga iri kubvunda mumvura, uye achadzura vaIsraeri panyika ino yakanaka yaakapa madzitateguru avo,+ uye achaita kuti vapararire kusvika mhiri kweRwizi,*+ nekuti vakagadzira mapango anoyera,*+ vakagumbura Jehovha. 16 Achasiya Israeri nemhaka yezvivi zvakaitwa naJerobhoamu uye zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.”+

17 Mudzimai waJerobhoamu akabva asimuka akaenda, akasvika kuTiza. Paaisvika pachidimbati* cheimba yavo, mwana wacho akabva afa. 18 Saka vakamuviga, uye vaIsraeri vese vakamuchema, maererano neshoko raJehovha raakataura kuburikidza nemushumiri wake muprofita Ahija.

19 Imwe nhoroondo yese yaJerobhoamu, kurwa kwaakaita+ nekutonga kwaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 20 Jerobhoamu akaita makore 22 achitonga, achibva azoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Nadhabhi akava mambo panzvimbo pake.+

21 Munguva iyi Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ava mambo muJudha. Rehobhoamu aiva nemakore 41 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 17 muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha+ pamadzinza ese aIsraeri kuti rive nzvimbo yekuisa zita rake.+ Amai vaRehobhoamu vainzi Naama vari vechiAmoni.+ 22 VaJudha vaiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ uye vakamugumbura nezvivi zvavo kupfuura zvakanga zvaitwa nemadzitateguru avo.+ 23 Naivowo vakaramba vachizvivakira nzvimbo dzakakwirira, shongwe dzinoyera nemapango anoyera*+ pazvikomo zvese+ nepasi pemiti yese yakasvibirira.+ 24 Munyika yacho maivawo nepfambi dzechirume dzepatemberi.+ Vakaita zvinhu zvese zvinosemesa zvemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.

25 Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Mambo Shishaki+ weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema.+ 26 Akatora pfuma yeimba yaJehovha nepfuma yeimba yamambo.*+ Akatora zvese, kusanganisira nhoo dzese dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.+ 27 Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzemhangura kuti atsive nhoo dzacho, uye akaita kuti dzichengetwe nevakuru vevarindi,* avo vairinda musuo weimba yamambo. 28 Pese paiuya mambo kuimba yaJehovha, varindi vaidzitakura, vobva vazodzidzorera kuimba yevarindi.

29 Imwe nhoroondo yese yaRehobhoamu nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ 30 Rehobhoamu naJerobhoamu vairamba vachirwisana.+ 31 Rehobhoamu akabva azoradzikwa nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ Amai vake vainzi Naama vari vechiAmoni.+ Uye mwanakomana wake Abhijamu*+ akava mambo panzvimbo yake.

15 Mugore rechi18 raMambo Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, Abhijamu akava mambo weJudha.+ 2 Akatonga muJerusarema kwemakore matatu. Amai vake vainzi Maaka,+ muzukuru waAbhisharomu. 3 Akafamba muzvivi zvese zvakanga zvaitwa nababa vake, uye mwoyo wake wakanga usina kuperera* kuna Jehovha Mwari wake semwoyo watateguru vake Dhavhidhi. 4 Zvisinei, achifunga nezvaDhavhidhi,+ Jehovha Mwari wake akamupa rambi muJerusarema+ paakaita kuti mwanakomana wake amutevere pachigaro, uye paakaita kuti Jerusarema rirambe riripo. 5 Nekuti Dhavhidhi akaita zvakarurama pamberi paJehovha, uye mazuva ese eupenyu hwake haana kutsauka pachinhu chero chipi zvacho chaakanga amurayira, kunze kwepanyaya yaUriya muHiti.+ 6 Rehobhoamu naJerobhoamu vakaramba vachirwisana mazuva ese eupenyu hwake.+

7 Kana iri nhoroondo yese yaAbhijamu, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ Paivawo nehondo pakati paAbhijamu naJerobhoamu.+ 8 Abhijamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, vakamuviga muGuta raDhavhidhi, uye mwanakomana wake Asa+ akava mambo panzvimbo yake.+

9 Mugore rechi20 raMambo Jerobhoamu weIsraeri, Asa akatanga kutonga Judha. 10 Akatonga muJerusarema kwemakore 41. Ambuya vake vainzi Maaka+ muzukuru waAbhisharomu. 11 Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha+ saDhavhidhi tateguru vake. 12 Akadzinga pfambi dzechirume dzepatemberi munyika yacho,+ akabvisa zvidhori zvese zvaisemesa* zvakanga zvagadzirwa nemadzitateguru ake.+ 13 Akatobvisawo ambuya vake Maaka+ pachinzvimbo chavo chepamusoro,* nekuti vakanga vagadzira chidhori chaisemesa chaishandiswa pakunamata bango rinoyera.* Asa akatema chidhori chavo chaisemesa,+ akachipisira muBani reKidroni.+ 14 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa.+ Kunyange zvakadaro, mwoyo waAsa wakanga wakanyatsozvipira* kuna Jehovha kweupenyu hwake hwese.* 15 Akaunza muimba yaJehovha zvinhu zvavakanga vatsvenesa iye nababa vake zvinoti, sirivha, goridhe, nemimwe midziyo.+

16 Asa naBhaasha+ mambo weIsraeri vakaramba vachingorwisana. 17 Saka Mambo Bhaasha weIsraeri akaenda kunorwisa Judha, akatanga kuvaka* Rama,+ kuti pasava nemunhu aibuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.+ 18 Asa akabva atora sirivha yese negoridhe zvakanga zvasara maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha nepfuma yeimba yamambo* akazvipa varanda vake. Mambo Asa akabva azvitumira kuna Bheni-hadhadhi mwanakomana waTabrimoni, mwanakomana waHeziyoni, mambo weSiriya,+ uyo aigara muDhamasiko, achiti: 19 “Pane chibvumirano* pakati pangu newe uye pakati pababa vangu nababa vako. Ndiri kukutumira chipo chesirivha negoridhe. Saka putsa chibvumirano chako* naBhaasha mambo weIsraeri, kuti abve kwandiri.” 20 Bheni-hadhadhi akateerera Mambo Asa, akatuma vakuru vemauto ake kunorwisa maguta eIsraeri, uye vakakunda Ijoni,+ Dhani,+ Abheri-bheti-maaka, Kinereti yese, nenyika yese yaNaftari. 21 Bhaasha paakazvinzwa, akabva angomira kuvaka* Rama, akaramba achigara muTiza.+ 22 Mambo Asa akabva ashevedza vaJudha vese, hapana akasiyiwa, uye vakatakura matombo nematanda zveRama zvakanga zvichivakiswa naBhaasha, uye Mambo Asa akazvishandisa kuvaka* Gebha+ iri muBhenjamini, neMizpa.+

23 Kana iri nhoroondo yese yaAsa, simba rake rese nezvese zvaakaita nemaguta aakavaka,* hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? Asi pakukwegura kwake akava nechirwere mutsoka.+ 24 Asa akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi tateguru vake; uye mwanakomana wake Jehoshafati+ akava mambo panzvimbo yake.

25 Nadhabhi+ mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raMambo Asa weJudha, uye akatonga Israeri kwemakore maviri. 26 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba munzira yababa vake+ nemuchivi chavo chavakanga vakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 27 Bhaasha mwanakomana waAhija weimba yaIsakari akamupandukira, uye Bhaasha akamuuraya paGibhetoni,+ iyo yaiva yevaFiristiya, Nadhabhi nevaIsraeri vese pavakanga vachikomba Gibhetoni. 28 Saka Bhaasha akamuuraya mugore rechitatu raMambo Asa weJudha, achibva ava mambo panzvimbo yake. 29 Paakangova mambo, akauraya imba yese yaJerobhoamu. Haana waakasiya achifema pavanhu vekwaJerobhoamu; akaita kuti vaparadzwe maererano neshoko raJehovha raakanga ataura kuburikidza nemuranda wake Ahija wekuShiro.+ 30 Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu uye zvaakanga akonzera kuti vaIsraeri vaite uye nekuti akanga agumbura Jehovha Mwari waIsraeri chaizvo. 31 Kana iri nhoroondo yaNadhabhi, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 32 Asa naBhaasha mambo weIsraeri vakaramba vachingorwisana.+

33 Mugore rechitatu raMambo Asa weJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija akava mambo muTiza achitonga vaIsraeri vese, uye akatonga kwemakore 24.+ 34 Asi akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ uye akafamba munzira yaJerobhoamu nemuchivi chake chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+

16 Shoko raJehovha remutongo wake kuna Bhaasha rakasvika kuna Jehu+ mwanakomana waHananai,+ richiti: 2 “Ndakakusimudza muguruva ndikakuita mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri,+ asi wakaramba uchifamba munzira yaJerobhoamu, ukaita kuti vanhu vangu vaIsraeri vatadze zvekuti vakandigumbura nezvivi zvavo.+ 3 Saka ndiri kutsvaira Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yake ive seimba yaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati. 4 Munhu wese wekwaBhaasha anofira muguta achadyiwa nembwa; uye munhu wese wekwake anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga.”

5 Kana iri nhoroondo yese yaBhaasha, zvaakaita uye simba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 6 Bhaasha akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muTiza;+ uye mwanakomana wake Eraa akava mambo panzvimbo yake. 7 Uyewo achishandisa muprofita Jehu mwanakomana waHananai, Jehovha akaunza shoko remutongo kuna Bhaasha neimba yake nemhaka yezvakaipa zvese zvakaitwa naBhaasha pamberi paJehovha achimugumbura nebasa remaoko ake, achiita seimba yaJerobhoamu, uyewo nemhaka yekuti akauraya Nadhabhi.+

8 Mugore rechi26 raMambo Asa weJudha, Eraa mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri muTiza, uye akatonga kwemakore maviri. 9 Muranda wake Zimri, mukuru wehafu yemauto ake engoro akamupandukira paaiva muTiza achinwa, achidhakwa ari pamba paAriza, uyo aitungamirira imba yamambo muTiza. 10 Zimri akauya akamurwisa,+ akamuuraya mugore rechi27 raMambo Asa weJudha, uye akava mambo panzvimbo yake. 11 Paakava mambo, achingogara pachigaro chake cheumambo, akauraya imba yese yaBhaasha. Haana kana munhurume* waakasiya ari mupenyu, pangava pahama dzake* kana kuti pashamwari dzake. 12 Saka Zimri akaparadza imba yese yaBhaasha, maererano neshoko rakanga rataurwa naJehovha pamusoro paBhaasha kuburikidza nemuprofita Jehu.+ 13 Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvese zvakanga zvaitwa naBhaasha nemwanakomana wake Eraa nezvivi zvavakanga vakonzera kuti vaIsraeri vaite vachigumbura Jehovha Mwari waIsraeri nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+ 14 Kana iri nhoroondo yese yaEraa, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?

15 Mugore rechi27 raMambo Asa weJudha, Zimri akava mambo kwemazuva 7 muTiza, mauto paakanga akadzika musasa kuti arwise Gibhetoni,+ yaiva yevaFiristiya. 16 Mauto akanga akadzika musasa akazonzwa zvichinzi: “Zimri apanduka uye aurayawo mambo.” Saka vaIsraeri vese vakagadza Omri,+ mukuru weuto, kuti ave mambo weIsraeri pazuva iroro mumusasa. 17 Omri nevaIsraeri vese vaaiva navo vakabva kuGibhetoni vakakomba Tiza. 18 Zimri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akapinda mushongwe yaishandiswa senhare* iyo yaiva muimba yamambo,* akapisa imba yacho, akafira imomo.+ 19 Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvake zvaakanga aita paakaita zvakaipa pamberi paJehovha kuburikidza nekufamba munzira yaJerobhoamu uye nemhaka yechivi chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 20 Kana iri nhoroondo yese yaZimri nekupanduka kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?

21 Panguva iyoyo ndipo pakakamukana vaIsraeri kuita mapoka maviri. Rimwe boka rakatevera Tibni mwanakomana waGinati, richida kumuita mambo, rimwe boka rikatevera Omri. 22 Asi vanhu vaitevera Omri vakakunda vanhu vaitevera Tibni mwanakomana waGinati. Saka Tibni akafa, Omri akava mambo.

23 Mugore rechi31 raMambo Asa weJudha, Omri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwemakore 12. Akatonga muTiza kwemakore 6. 24 Akatenga gomo reSamariya kuna Shemeri nematarenda* maviri esirivha, uye akavaka guta pagomo racho. Akatumidza guta raakavaka kuti Samariya,*+ zvichibva pazita raShemeri muridzi* wegomo racho. 25 Omri akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, uye akanga akaipa kupfuura vese vakamutangira.+ 26 Akafamba munzira dzese dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye muchivi chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite pavakagumbura Jehovha Mwari waIsraeri nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+ 27 Kana iri nhoroondo yese yaOmri, zvaakaita uye simba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 28 Omri akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muSamariya; uye mwanakomana wake Ahabhi+ akava mambo panzvimbo yake.

29 Ahabhi mwanakomana waOmri akava mambo weIsraeri mugore rechi38 raMambo Asa weJudha, uye Ahabhi mwanakomana waOmri akatonga Israeri muSamariya+ kwemakore 22. 30 Ahabhi mwanakomana waOmri akanga akaipa chaizvo pamberi paJehovha kupfuura vese vakamutangira.+ 31 Sezvinonzi kufamba kwaakaita muzvivi zvaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati chaiva chinhu chidiki, akatorawo Jezebheri+ mwanasikana waEtibhaari mambo wevaSidhoni+ kuti ave mudzimai wake, akatanga kushumira Bhaari+ uye kukotama pamberi pake. 32 Akamisirawo Bhaari atari paimba* yaBhaari+ yaakavaka muSamariya. 33 Ahabhi akagadzirawo bango rinoyera.*+ Ahabhi akawedzera kuita zvinhu zvinogumbura Jehovha Mwari waIsraeri kupfuura madzimambo ese eIsraeri akamutangira.

34 Mumazuva ake, Hieri muBheteri akavaka guta reJeriko. Akafirwa naAbhiramu dangwe rake paakavaka faundesheni* yaro, uye akafirwa naSegubhu gotwe rake paakaisa masuo aro, maererano neshoko raJehovha raakataura kuburikidza naJoshua mwanakomana waNuni.+

17 Zvino Eriya*+ muTishbhi, mugari wekuGiriyedhi,+ akati kuna Ahabhi: “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsraeri wandinoshumira,* mumakore aya hakuzovi nedova kana mvura kunze kwekunge ini ndataura!”+

2 Shoko raJehovha rakauya kwaari, richiti: 3 “Simuka unange nechekumabvazuva, uhwande muBani reKeriti,* kumabvazuva kwaJodhani. 4 Uchanwa mvura yemurukova rwacho, uye ndicharayira makunguo kuti akupe zvekudya ikoko.”+ 5 Akabva angoenda, akaita maererano neshoko raJehovha; akaenda akanogara muBani reKeriti,* kumabvazuva kwaJodhani. 6 Makunguo aimuunzira chingwa nenyama mangwanani uye chingwa nenyama manheru, uye ainwa mvura yemurukova rwacho.+ 7 Asi papera mazuva, rukova rwacho rwakaoma,+ nekuti mvura yakanga isinganayi munyika yacho.

8 Shoko raJehovha rakabva rauya kwaari, richiti: 9 “Simuka uende kuZarefati yeSidhoni, ugare ikoko. Ndicharayira imwe chirikadzi iri ikoko kuti ikupe zvekudya.”+ 10 Saka akasimuka akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta racho, akaona imwe chirikadzi ichitsvaga huni. Akabva ashevedzera kwairi achiti: “Ndinokumbirawo kuti undiunzire mvura shomanana mukapu ndinwe.”+ 11 Mukadzi wacho paakanga ava kuenda kunoitora, iye akashevedzera kwaari achiti: “Ndinokumbirawo kuti undiunzire chimedu chechingwa.” 12 Mukadzi wacho akabva ati: “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi ndinongova netufurawa tushoma turi muchirongo chihombe nemafuta mashomanana ari muchirongo chidiki.+ Iye zvino ndiri kutsvaga huni shomanana, uye ndichaenda ndozvibikira ini nemwanakomana wangu. Kana tadya, tichabva tafa.”

13 Eriya akabva ati kwaari: “Usatya. Enda unoita zvawataura. Asi chimbotanga wandibikira chingwa chidiki cheraundi uchishandisa zviripo zvacho, uuye nacho kwandiri. Kana wapedza wozozvibikira iwe nemwanakomana wako mudye. 14 Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Furawa iri muchirongo chihombe haizoperi, uye mafuta ari muchirongo chidiki haazoperi kusvikira pazuva richanayiswa mvura panyika naJehovha.’”+ 15 Saka akaenda, akaita zvakanga zvataurwa naEriya, uye mukadzi wacho neimba yake pamwe chete naEriya, vakava nezvekudya kwemazuva mazhinji.+ 16 Furawa yaiva muchirongo chihombe haina kupera, uye mafuta aiva muchirongo chidiki haana kupera, sezvakanga zvataurwa naJehovha kuburikidza naEriya.

17 Pashure peizvi, mwanakomana wemukadzi wacho uyo aiva muridzi weimba yacho, akarwara, uye urwere hwake hwakasvika pakaipisisa zvekuti akamira kufema.+ 18 Mukadzi wacho akabva ati kuna Eriya: “Ndakakutadzirai chii,* nhai imi munhu waMwari wechokwadi? Makauya kwandiri kuti mundiyeuchidze nezvemhosva yangu uye kuti muuraye mwanakomana wangu here?”+ 19 Asi iye akati kwaari: “Ndipe mwanakomana wako.” Akabva amutora mumaoko emukadzi wacho, akakwira naye muimba yepadenga remba maakanga achigara, uye akamuradzika pamubhedha wake.+ 20 Akashevedzera kuna Jehovha achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wangu,+ mava kuunzawo dambudziko pachirikadzi yandiri kugara nayo nekuuraya mwanakomana wayo here?” 21 Akabva azvambarara pamusoro pemwana wacho katatu, akashevedzera kuna Jehovha achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndapota, dzosai upenyu hwemwana* uyu maari.” 22 Jehovha akanzwa chikumbiro chaEriya,+ uye upenyu hwemwana wacho hwakadzoka maari, akava mupenyu zvakare.+ 23 Eriya akatora mwana wacho, akadzika naye mumba achibva muimba yepadenga remba, akamupa kuna amai vake; uye Eriya akati: “Ona mwanakomana wako ava mupenyu.”+ 24 Mukadzi wacho akabva ati kuna Eriya: “Iye zvino ndava kuziva kuti zvechokwadi muri munhu waMwari+ uye kuti shoko raJehovha riri mumuromo menyu nderechokwadi.”

18 Nekufamba kwenguva, mugore rechitatu,+ shoko raJehovha rakauya kuna Eriya, richiti: “Enda kuna Ahabhi, uye ndichanayisa mvura panyika.”+ 2 Saka Eriya akaenda kuna Ahabhi, nzara payakanga yanyanya+ muSamariya.

3 Munguva iyi, Ahabhi akashevedza Obhadhiya, uyo aitungamirira muzinda. (Obhadhiya aitya Jehovha zvikuru, 4 uye Jezebheri+ paaiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhiya akatora vaprofita 100 akavahwandisa, achivaisa vari 50 mubako rimwe chete, uye akavapa chingwa nemvura.) 5 Ahabhi akabva ati kuna Obhadhiya: “Famba munyika, uende kuzvitubu zvese zvemvura nekumapani ese.* Zvimwe tingawana uswa hwakakwana kuti mabhiza nemanyurusi zvirambe zviri zvipenyu, mhuka dzedu dzorega kufa dzese.” 6 Saka vakakamurirana nyika yekuti vafambe mairi. Ahabhi akaenda ega neimwe nzira, Obhadhiya akaenda ega neimwe nzira.

7 Obhadhiya paaienda, Eriya akabuda kuti asangane naye. Akabva angomuziva, akapfugama, akadzikisa musoro wake akati: “Ndimi here, ishe wangu Eriya?”+ 8 Iye akamupindura kuti: “Ndini. Enda unoti kunashe wako: ‘Eriya ari kuno.’” 9 Asi iye akati: “Ndakatadzei kuti muise muranda wenyu mumaoko aAhabhi kuti andiuraye? 10 NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna nyika kana umambo husina kutumirwa shoko naishe wangu achikutsvagai. Pavaiti, ‘Haako kuno,’ aiita kuti veumambo hwacho nenyika yacho vapike kuti vakakushayai.+ 11 Zvino mava kuti, ‘Enda unoti kunashe wako: “Eriya ari kuno.”’ 12 Pandichabva pamuri, mweya waJehovha uchakuendesai+ kunzvimbo yandisingazozivi, uye pandichaudza Ahabhi, obva akushayai, anondiuraya chete. Asi ini muranda wenyu ndagara ndichitya Jehovha kubvira ndichiri mudiki. 13 Ishe wangu haana kuudzwa here zvandakaita paiurayiwa vaprofita vaJehovha naJezebheri, kuti ndakahwandisa vaprofita vaJehovha 100, ndichivaisa vari 50 mubako rimwe chete, ndikaramba ndichivapa chingwa nemvura?+ 14 Zvino imi mava kuti, ‘Enda unoti kunashe wako: “Eriya ari kuno.”’ Anotondiuraya chete.” 15 Zvisinei, Eriya akati: “NaJehovha wemauto mupenyu wandinoshumira,* nhasi ndichaonana naye.”

16 Saka Obhadhiya akaenda kunosangana naAhabhi, akamuudza, uye Ahabhi akaenda kunosangana naEriya.

17 Ahabhi paakangoona Eriya, akabva ati kwaari: “Ndiwe here, iwe munhu ari kuunzira Israeri dambudziko?”

18 Iye akabva ati: “Handina kuunzira Israeri dambudziko, asi imi neimba yababa venyu ndimi makariunza pamakasiya mirayiro yaJehovha, uye pamakatevera vanaBhaari.+ 19 Iye zvino shevedzai vaIsraeri vese vauye kwandiri paGomo reKameri,+ pamwe chete nevaprofita vaBhaari 450 nevaprofita 400 vebango rinoyera,*+ vanodyira patafura yaJezebheri.” 20 Saka Ahabhi akatumira shoko kuvaIsraeri vese, akaunganidza vaprofita vacho paGomo reKameri.

21 Eriya akabva aenda pedyo nevanhu vese akati: “Mucharamba muine mwoyo miviri* kusvikira riini?+ Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei;+ asi kana ari Bhaari, muteverei!” Asi vanhu havana kana shoko ravakamupindura. 22 Eriya akabva ati kuvanhu vacho: “Ndini ndega muprofita waJehovha asara,+ asi pane varume 450, vaprofita vaBhaari. 23 Ngavatipe mikono midiki yemombe miviri, uye regai vasarudze mukono mumwe chete mudiki, vaucheke-cheke, vouisa pamusoro pehuni, asi ngavarege kuisa moto pauri. Ini ndichagadzira mumwe mukono wacho, uye ndichauisa pamusoro pehuni, asi handizoisi moto pauri. 24 Munofanira kubva mashevedza zita ramwari wenyu,+ uye ini ndichashevedza zita raJehovha. Mwari achapindura nemoto acharatidza kuti ndiye Mwari wechokwadi.”+ Vanhu vese vakabva vapindura vachiti: “Zvawataura zvakanaka.”

25 Eriya akabva ati kuvaprofita vaBhaari: “Sarudzai mukono mudiki mumwe chete wemombe, mutange imi kuugadzira, nekuti ndimi makawanda. Mubve mashevedza zita ramwari wenyu, asi hamufaniri kuisa moto pauri.” 26 Saka vakatora mukono wacho wavakanga vapiwa, vakaugadzira, uye vakaramba vachishevedza zita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati, vachiti: “Haiwa Bhaari, tipindurei!” Asi kwakanga kusina inzwi uye hapana aipindura.+ Vakaramba vachisvetuka-svetuka vachipoterera atari yavakanga vagadzira. 27 Kwava kumasikati, Eriya akatanga kuvaseka achiti: “Shevedzerai kusvika panoperera manzwi enyu! Handiti iye ndimwari!+ Pamwe pane zvaari kufunga zvakadzama kana kuti aenda kunozvibatsira.* Kana kuti zvimwe akarara uye mumwe munhu anofanira kumumutsa!” 28 Vaishevedzera nemanzwi ari pamusorosoro, vachizvicheka nemapanga nemapfumo maererano netsika yavo kusvikira vava kuyerera ropa pese pese. 29 Masikati akapfuura, uye vakaramba vachipengereka* kusvikira panguva inopiwa mupiro wezviyo* wemanheru, asi kwakanga kusina inzwi uye hapana aipindura; hapana aiteerera.+

30 Eriya akazoti kuvanhu vese: “Uyai kuno.” Saka vanhu vese vakaenda kwaari. Akabva agadziridza atari yaJehovha yakanga yaputswa.+ 31 Eriya akabva atora matombo 12 aienderana nekuwanda kwemadzinza evanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti: “Uchanzi Israeri.”+ 32 Akavaka atari muzita raJehovha achishandisa matombo+ acho. Akabva agadzira mugero achipoterera atari, nzvimbo yakakura zvekuti inokwana kudyara maseya* maviri embeu. 33 Pashure paizvozvo akaronga huni, akacheka-cheka mukono wacho wemombe mudiki, akauisa pamusoro pehuni.+ Akabva ati: “Zadzai zvirongo zvihombe zvina nemvura muidururire pachibayiro chinopiswa nepahuni.” 34 Akabva ati: “Dzokorodzai zvamaita.” Saka vakaitazve saizvozvo. Akatizve: “Itai saizvozvo kechitatu.” Saka vakaita saizvozvo kechitatu. 35 Mvura yacho yakayerera mumativi ese eatari, uye akazadzawo mugero wacho nemvura.

36 Panenge panguva inopiwa mupiro wezviyo wemanheru,+ muprofita Eriya akaenda pedyo neatari ndokuti: “Haiwa Jehovha, Mwari waAbrahamu,+ Isaka,+ naIsraeri, nhasi ngazvizivikanwe kuti muri Mwari muna Israeri, uye kuti ndiri mushumiri wenyu uye kuti ndaita zvinhu zvese izvi maererano neshoko renyu.+ 37 Ndipindurei, haiwa Jehovha! Ndipindurei, kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi uye kuti muri kudzosa mwoyo yavo kwamuri.”+

38 Moto waJehovha wakabva waburuka uchibva kumusoro, ukapisa chibayiro chinopiswa,+ nehuni, nematombo, neguruva, uye wakananzva mvura yaiva mumugero.+ 39 Vanhu vese pavakazviona, vakabva vawira pasi vakati: “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi! Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!” 40 Eriya akabva ati kwavari: “Batai vaprofita vaBhaari! Musarega kana mumwe chete wavo achitiza!” Vakabva vavabata, uye Eriya akadzika navo kurukova rwaKishoni,+ akavaurayira ikoko.+

41 Eriya akabva ati kuna Ahabhi: “Kwidzai muende, munodya nekunwa, nekuti kune kutinhira kwemvura zhinji.”+ 42 Saka Ahabhi akaenda kuti anodya nekunwa, asi Eriya akakwira pamusoro peKameri, akachonjomara pasi, akaramba akaisa chiso chake pakati pemabvi ake.+ 43 Akabva ati kumushandi wake: “Ndapota kwidza unotarisa kudivi rekugungwa.” Saka akaenda akatarisa, akati: “Hakuna kana chiriko.” Eriya akamuudza kanomwe kuti, “Dzokera.” 44 Paakadzoka kechinomwe mushandi wake akati: “Kune gore diki rakaita seruoko rwemunhu riri kukwira richibva mugungwa.” Akabva ati: “Enda unoti kuna Ahabhi, ‘Sungai ngoro! Endai kuti murege kuvharirwa nemvura zhinji!’” 45 Munguva iyi, denga rakasviba nemakore, kukaita mhepo, mvura zhinji ikanaya;+ uye Ahabhi akaramba ari mungoro, akaenda kuJezreeri.+ 46 Asi ruoko rwaJehovha rwakauya pana Eriya, akamonera nguo yake muchiuno, akamhanya ari mberi kwaAhabhi kusvika kuJezreeri.

19 Zvino Ahabhi+ akaudza Jezebheri+ zvese zvakanga zvaitwa naEriya uye kuuraya kwaakanga aita vaprofita vese nebakatwa.+ 2 Jezebheri akabva atuma nhume kuna Eriya, achiti: “Vanamwari ngavandiitire saizvozvo, uye ngavawedzere pazviri, kana mangwana panguva ino ndikasaita kuti uve semumwe nemumwe* wavo!” 3 Saka akatya, achibva asimuka, akatiza kuti aponese upenyu hwake.*+ Akasvika kuBheeri-shebha+ yeJudha+ akasiya mushandi wake ikoko. 4 Akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda murenje, akasvika akagara pasi pegwenzi, uye akakumbira kuti afe.* Akati: “Zvakwana! Haiwa Jehovha, chindiurayai henyu,*+ nekuti hapana pandinopfuura madzitateguru angu.”

5 Akabva arara pasi akabatwa nehope ari pasi pegwenzi. Asi ngirozi yakangoerekana yamubata,+ ikati kwaari: “Muka udye.”+ 6 Paakatarisa, akaona kumusoro kwake kuine chingwa cheraundi pamatombo aipisa nechirongo chemvura. Akadya nekunwa, akarara zvakare. 7 Gare gare ngirozi yaJehovha yakadzoka kechipiri ikamubata, ikati: “Muka udye, nekuti rwendo rwacho ruchanyanya kukurebera.” 8 Saka akamuka akadya nekunwa, uye nesimba rezvekudya izvozvo akaramba achienda kwemazuva 40 neusiku 40 kusvikira asvika kuHorebhi, gomo raMwari wechokwadi.+

9 Ava ikoko, akapinda mubako+ akarara imomo usiku hwese; uye shoko raJehovha rakauya kwaari, richiti: “Eriya, uri kuitei pano?” 10 Iye akabva ati: “Ndanga ndichishingaira chaizvo ndichiitira Jehovha Mwari wemauto;+ nekuti vaIsraeri vakasiya sungano yenyu,+ vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaprofita venyu nebakatwa,+ uye ini ndini ndega ndasara. Iye zvino vava kuda kundiuraya.”*+ 11 Asi iye akati: “Buda umire pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akanga achipfuura nepo,+ uye mhepo huru yaiva nesimba yakanga ichitsemura makomo nekuputsa matombo pamberi paJehovha,+ asi Jehovha akanga asiri mumhepo yacho. Pashure pemhepo, pasi pakadengenyeka,+ asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka kwacho. 12 Pashure pekudengenyeka, pakava nemoto,+ asi Jehovha akanga asiri mumoto wacho. Pashure pemoto, pakanzwika inzwi rakanga rakadzikama, raiva pasi pasi.+ 13 Eriya paakangorinzwa, akabva avhara chiso chake nenguo yake yebasa,+ akabuda, akamira pamuromo webako. Inzwi rakabva ramubvunza kuti: “Eriya, uri kuitei pano?” 14 Iye akabva ati: “Ndanga ndichishingaira chaizvo ndichiitira Jehovha Mwari wemauto; nekuti vaIsraeri vakasiya sungano yenyu,+ vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaprofita venyu nebakatwa, uye ini ndini ndega ndasara. Iye zvino vava kuda kundiuraya.”*+

15 Jehovha akati kwaari: “Dzokera, uende kurenje reDhamasiko. Kana wasvika ikoko, zodza Hazaeri+ kuti ave mambo weSiriya. 16 Uye unofanira kuzodza Jehu+ muzukuru waNimshi kuti ave mambo weIsraeri, uye unofanira kuzodza Erisha* mwanakomana waShafati wekuAbheri-mehora kuti ave muprofita panzvimbo yako.+ 17 Anenge apukunyuka bakatwa raHazaeri,+ achaurayiwa naJehu;+ uye anenge apukunyuka bakatwa raJehu, achaurayiwa naErisha.+ 18 Uye ndichiine vanhu 7 000 muIsraeri+ vane mabvi asina kupfugamira Bhaari+ uye vane miromo isina kumutsvoda.”+

19 Saka akabva ipapo, akawana Erisha mwanakomana waShafati achirima, zvipani 12 zvemombe zviri pamberi pake, uye iye aiva nechipani chechi12. Saka Eriya akaenda paaiva, akakanda nguo yake yebasa+ paari. 20 Akabva asiya mombe dzacho, akamhanya achitevera Eriya akati: “Ndapota, ndiregei nditsvode baba vangu naamai vangu. Ndichabva ndakuteverai.” Iye akati kwaari: “Enda hako, ndambokurambidza here?” 21 Saka akadzokera akatora mombe mbiri, akadzibayira, uye akashandisa zvaairimisa pakubika nyama yemombe dzacho akaipa vanhu, vakadya. Pashure paizvozvo akasimuka akatevera Eriya, akatanga kumushumira.+

20 Bheni-hadhadhi+ mambo weSiriya+ akaunganidza mauto ake ese, nemadzimambo 32 nemabhiza awo nengoro dzawo, akaenda akanokomba+ Samariya,+ akairwisa. 2 Akabva atuma nhume kuna Mambo Ahabhi+ weIsraeri kuguta, akati kwaari: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, 3 ‘Sirivha yako negoridhe rako ndezvangu, nemadzimai ako nevanakomana vako vakanaka kupfuura vese.’” 4 Mambo weIsraeri akabva apindura kuti: “Ndiri wenyu, pamwe chete nezvinhu zvangu zvese, sezvamataura ishe wangu mambo.”+

5 Gare gare nhume dzacho dzakadzoka dzikati: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, ‘Ndakakutumira shoko ndichiti: “Uchandipa sirivha yako, negoridhe rako, nemadzimai ako, nevanakomana vako.” 6 Asi panenge panguva ino mangwana ndichatuma varanda vangu kwauri, uye vachanyatsotsvaga mumba mako nemudzimba dzevaranda vako, uye vachatora zvinhu zvako zvese zvakanaka voenda nazvo.’”

7 Mambo weIsraeri akabva ashevedza vakuru vese vemunyika yacho akati: “Tarisaiwo muone zviri kuitwa nemunhu uyu. Ari kutsvaga kuunza dambudziko, nekuti akati ndimupe madzimai angu, vanakomana vangu, sirivha yangu, negoridhe rangu, uye handina kuramba.” 8 Vakuru vese nevanhu vese vakabva vati kwaari: “Musateerera, uye musabvuma.” 9 Saka akati kunhume dzaBheni-hadhadhi: “Itii kunashe wangu mambo, ‘Ndichaita zvese zvamakatanga kutaura kuti muri kuda kumuranda wenyu, asi izvi handikwanisi kuzviita.’” Nhume dzacho dzakabva dzaenda, dzikadzokera neshoko kwaari.

10 Bheni-hadhadhi akabva amutumira shoko iri rekuti: “Vanamwari ngavandirange zvinorwadza kwazvo kana muSamariya muine guruva rinokwana kuti ndizadze ruoko rwemunhu wese anonditevera!” 11 Mambo weIsraeri akapindura kuti: “Muudzei kuti, ‘Uya anoshonga zvekurwa nazvo haafaniri kuzvirova dundundu seuya anozvibvisa.’”+ 12 Paakangonzwa mhinduro yacho, iye nemadzimambo acho pavakanga vachinwa vari mumatende avo,* akati kuvaranda vake: “Gadzirirai hondo!” Saka vakagadzirira kurwisa guta racho.

13 Asi pane muprofita akaenda kuna Mambo Ahabhi+ weIsraeri akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Waona here boka rese guru iri revanhu? Ndiri kuriisa muruoko rwako nhasi, uye uchabva waziva kuti ndini Jehovha.’”+ 14 Ahabhi akabvunza kuti: “Muchishandisa ani?” iye akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichishandisa vashandi vanobatsira machinda ematunhu.’” Saka akabvunza kuti: “Ndiani achatanga kurwisa?” iye akati: “Ndiwe!”

15 Ahabhi akabva averenga vashandi vaibatsira machinda ematunhu, uye vaiva 232; pashure paizvozvo akaverenga varume vese veIsraeri, uye vaiva 7 000. 16 Vakabuda masikati Bheni-hadhadhi paakanga achinwa achidhakwa ari mumatende* pamwe chete nemadzimambo 32 akanga achimubatsira. 17 Vashandi vaibatsira machinda ematunhu pavakatanga ivo kubuda, Bheni-hadhadhi akabva angotuma nhume. Dzakadzoka kwaari dzichiti: “Kune varume vabuda muSamariya.” 18 Iye akabva ati: “Kana vabuda kuti vatsvage rugare, vatorei vari vapenyu; uye kunyange kana vabuda kuti varwe, munongofanira kuvatora vari vapenyu.” 19 Asi vashandi vaibatsira machinda ematunhu pavakabuda muguta nemauto aivatevera, 20 mumwe nemumwe akauraya waairwisana naye. VaSiriya vakabva vatiza,+ uye vaIsraeri vakavatevera, asi Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya akatiza ari pabhiza aine vamwe vatasvi vemabhiza. 21 Asi mambo weIsraeri akabuda, akaramba achiparadza mabhiza nengoro, uye akauraya vaSiriya vakawanda chaizvo.

22 Gare gare muprofita+ wacho akaenda kuna mambo weIsraeri akati kwaari: “Enda unova nesimba, wofunga zvauchaita,+ nekuti pakutanga kwegore rinouya* mambo weSiriya achauya kuzokurwisa.”+

23 Zvino varanda vamambo weSiriya vakati kwaari: “Mwari wavo ndiMwari wemakomo. Ndokusaka vakatikunda. Asi kana tikarwisana navo panyika yakati sandara, tichavakunda. 24 Itaiwo izvi: Bvisai madzimambo ese+ pazvinzvimbo zvawo, muatsive nemagavhuna. 25 Ibvai maunganidza* mauto akaenzana nemauto enyu akaurayiwa, tsivai bhiza nebhiza, ngoro nengoro. Ngatirwei navo panyika yakati sandara, uye chokwadi tichavakunda.” Saka akateerera zano ravo akaita saizvozvo.

26 Pakutanga kwegore,* Bheni-hadhadhi akaunganidza vaSiriya, akakwidza kuAfeki+ kuti anorwa nevaIsraeri. 27 VaIsraeri vakaunganidzwawo vakapiwa zvese zvavaizoda, uye vakabuda kuti vasangane navo. VaIsraeri pavakadzika musasa pakatarisana navo, vakanga vakaita setumapoka tuviri twembudzi, uku vaSiriya vakazadza nyika yese.+ 28 Munhu waMwari wechokwadi akabva aenda kuna mambo weIsraeri, akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Nekuti vaSiriya vati: “Jehovha ndiMwari wemakomo, haasi Mwari wemapani,” ndichaisa boka guru revanhu rese iri muruoko rwako,+ uye chokwadi muchaziva kuti ndini Jehovha.’”+

29 Vakaramba vakadzika misasa kwemazuva manomwe, misasa yavo iri pakatarisana, uye pazuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya varwi veSiriya 100 000 vaifamba netsoka pazuva rimwe chete. 30 Vamwe vese vakatizira kuAfeki,+ vachinopinda muguta. Asi rusvingo rwakawira varume 27 000 pane vakanga vasara. Bheni-hadhadhi akatizawo akapinda muguta, uye akahwanda muimba yemukati.

31 Saka varanda vake vakati kwaari: “Takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo ane tsitsi.* Tapota, regai tisunge masaga muzviuno uye tisunge tambo mumisoro, tiende kuna mambo weIsraeri. Zvimwe acharega kukuurayai.”*+ 32 Saka vakasunga masaga muzviuno zvavo, vakasunga tambo mumisoro yavo, vakapinda maiva namambo weIsraeri vakati: “Zvanzi nemuranda wenyu Bheni-hadhadhi, ‘Ndapota, ndiregei ndiri mupenyu.’”* Iye akapindura kuti: “Achiri mupenyu here? Ihama yangu.” 33 Varume vacho vakaona sekuti ichi chaiva chiratidzo chakanaka uye vakabva vangobvuma zvaakataura, saka vakati: “Bheni-hadhadhi ihama yenyu.” Iye akabva ati: “Endai munomutora.” Bheni-hadhadhi akabva aenda kwaaiva, uye iye akaita kuti akwire mungoro.

34 Bheni-hadhadi akabva ati kwaari: “Ndichadzosa maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako, uye unogona kuisa misika* yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamariya.”

Ahabhi akapindura achiti: “Nechibvumirano ichi,* ndichakurega uchienda.”

Akabva aita chibvumirano naye, akamurega achienda.

35 Arayirwa neshoko raJehovha, mumwe wevanakomana vevaprofita*+ akati kune mumwe wake: “Ndapota, ndirove.” Asi murume wacho akaramba kumurova. 36 Saka akati kwaari: “Nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, pauchangobva kwandiri, uchaurayiwa neshumba.” Paakabva kwaari, akasangana neshumba, ikamuuraya.

37 Akawana mumwe murume akati kwaari: “Ndapota, ndirove.” Saka murume wacho akamurova, akamukuvadza.

38 Muprofita wacho akabva aenda, akanomirira mambo pamugwagwa, uye akanga akavhara maziso ake nejira kuti asazivikanwa. 39 Mambo paakanga achipfuura, iye akashevedzera kuna mambo achiti: “Muranda wenyu akaenda paipisa hondo, uye kwaiva nemumwe murume aibuda, uyo akauya nemumwe murume kwandiri akabva ati, ‘Rinda murume uyu. Kana akangoshayikwa chete, upenyu hwako ndihwo huchapinda panzvimbo yeupenyu hwake,* kana kuti uchabhadhara tarenda*+ resirivha.’ 40 Muranda wenyu paakanga achiita icho neicho, murume wacho akabva angonyangarika.” Mambo weIsraeri akati kwaari: “Saka iwoyo ndiwo uchava mutongo wako; wazvitonga wega.” 41 Akabva akurumidza kubvisa jira kumeso kwake, uye mambo weIsraeri akaona kuti aiva mumwe wevaprofita.+ 42 Akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Nekuti wakarega murume wandakati aifanira kuparadzwa achipukunyuka muruoko rwako,+ upenyu hwako hunofanira kupinda panzvimbo yeupenyu hwake,*+ uye vanhu vako vachapinda panzvimbo yevanhu vake.’”+ 43 Mambo weIsraeri akabva aenda kumba kwake kuSamariya,+ akafundumwara uye akasuruvara.

21 Pashure pezvinhu izvi, pane nyaya yakaitika pamusoro pemunda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri; munda wacho waiva kuJezreeri,+ pedyo nemuzinda waAhabhi mambo weSamariya. 2 Ahabhi akati kuna Nabhoti: “Ndipe munda wako wemizambiringa, kuti uve munda wangu wemiriwo, nekuti uri pedyo neimba yangu. Ndichabva ndakupa munda wemizambiringa wekuutsiva, wakanaka kuupfuura. Kana kuti, kana uchida ndichakupa mari inokwana kuutenga.” 3 Asi Nabhoti akati kuna Ahabhi: “Hazvitomboiti mukuona kwaJehovha, kuti ndikupei nhaka yemadzitateguru angu.”+ 4 Saka Ahabhi akapinda mumba make akafundumwara uye akasuruvara nemhaka yezvaakanga audzwa naNabhoti muJezreeri, paakati: “Handisi kukupai nhaka yemadzitateguru angu.” Akabva arara pamubhedha wake, akaramba akatarisa kudivi nechiso chake, uye akaramba kudya.

5 Mudzimai wake Jezebheri+ akapinda maaiva akamubvunza kuti: “Nei makasuruvara* kudai zvekuti mava kuramba kudya?” 6 Akamupindura kuti: “Nekuti ndati kuna Nabhoti muJezreeri, ‘Ndipe munda wako wemizambiringa ndikupe mari. Kana kuti ndinokupa mumwe munda wemizambiringa kuti tichinjane kana uchida.’ Asi ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’” 7 Mudzimai wake Jezebheri akati kwaari: “Ko hamusi imi mambo ari kutonga Israeri here? Simukai mudye uye mwoyo wenyu ngaufare. Ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri.”+ 8 Saka akanyora tsamba muzita raAhabhi, akadzinama nechidhindo chamambo,+ akatumira tsamba dzacho kuvakuru+ nevanhu vanokudzwa vaigara muguta raNabhoti. 9 Akanyora mutsamba dzacho kuti: “Zivisai vanhu kuti vatsanye, uye itai kuti Nabhoti agare pamberi pevanhu. 10 Muite kuti varume vaviri vasingabatsiri vagare pamberi pake vomupomera+ vachiti, ‘Watuka Mwari namambo!’+ Mubve mabuda naye momutema nematombo kusvikira afa.”+

11 Saka varume veguta racho, vakuru nevanhu vanokudzwa vaigara muguta rake, vakaita sezvakanga zvakanyorwa mutsamba dzavakatumirwa naJezebheri. 12 Vakazivisa kuti vanhu vatsanye uye vakaita kuti Nabhoti agare pamberi pevanhu. 13 Varume vaviri vasingabatsiri vakabva vapinda vakagara pamberi pake vakatanga kupomera Nabhoti pamberi pevanhu vachiti: “Nabhoti atuka Mwari namambo!”+ Pashure paizvozvo vakaenda naye kunze kweguta, vakamutema nematombo kusvikira afa.+ 14 Vakabva vatumira shoko kuna Jezebheri vachiti: “Nabhoti atemwa nematombo akafa.”+

15 Jezebheri paakangonzwa kuti Nabhoti akanga atemwa nematombo akafa, akati kuna Ahabhi: “Simukai mutore munda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri,+ waakaramba kukutengeserai nemari, nekuti Nabhoti haasisiri mupenyu. Afa.” 16 Ahabhi paakangonzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka kuti aende kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezreeri kuti anoutora.

17 Asi shoko raJehovha rakauya kuna Eriya+ muTishbhi, richiti: 18 “Simuka uende kunosangana naAhabhi mambo weIsraeri, ari muSamariya.+ Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaenda kuti anoutora. 19 Muudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: “Hauna here kuuraya munhu+ ukatorawo munda wake?”’+ Ibva wati kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: “Imbwa dzichananzva ropa rako panzvimbo yakananzvirwa ropa raNabhoti nembwa.”’”+

20 Ahabhi akati kuna Eriya: “Inga wandibata, iwe muvengi wangu!”+ Akapindura kuti: “Ndakubata. ‘Nekuti wakatsunga* kuita zvakaipa pamberi paJehovha,+ 21 ndiri kukuunzira dambudziko uye ndichatevera ndichikutsvaira uye ndichaparadza vanhurume vese* vekwaAhabhi,+ kusanganisira varombo nevasina simba muIsraeri.+ 22 Ndichaita kuti imba yako iite seimba yaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati uye seimba yaBhaasha+ mwanakomana waAhija, nekuti wakandigumbura uye wakaita kuti vaIsraeri vatadze.’ 23 Jehovha atiwo pamusoro paJezebheri, ‘Imbwa dzichadyira Jezebheri mumunda uri kuJezreeri.+ 24 Munhu wese wekwaAhabhi anofira muguta achadyiwa nembwa, uye munhu wese anofira kusango achadyiwa neshiri dzedenga.+ 25 Chokwadi hapana kumbobvira pava nemunhu akaita saAhabhi,+ uyo aiva akatsunga* kuita zvakaipa pamberi paJehovha, achifurirwa nemudzimai wake Jezebheri.+ 26 Akaita zvinosemesa chaizvo nekutevera zvidhori zvaisemesa,* sezvakanga zvaitwa nevaAmori vese, avo vakadzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.’”+

27 Ahabhi paakangonzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga; uye akatsanya akaramba akarara pasi akapfeka masaga, achifamba akasuruvara chaizvo. 28 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Eriya muTishbhi, richiti: 29 “Waona here kuzvininipisa kwaita Ahabhi pamberi pangu?+ Nekuti azvininipisa pamberi pangu, handizounzi dambudziko racho achiri mupenyu. Ndichaunza dambudziko racho paimba yake mumazuva emwanakomana wake.”+

22 Kwemakore matatu pakanga pasina hondo pakati peSiriya neIsraeri. 2 Mugore rechitatu, Mambo Jehoshafati+ weJudha akaenda kuna mambo weIsraeri.+ 3 Mambo weIsraeri akabva ati kuvaranda vake: “Munozviziva here kuti Ramoti-giriyedhi+ ndeyedu? Asi isu tiri kungozengurira hedu kuidzosa kubva kuna mambo weSiriya.” 4 Akabva ati kuna Jehoshafati: “Uchaenda neni kunorwa kuRamoti-giriyedhi here?” Jehoshafati akapindura mambo weIsraeri achiti: “Ini newe tiri vanhu vamwe chete. Vanhu vangu nevanhu vako vamwe chete. Mabhiza angu nemabhiza ako mamwe chete.”+

5 Asi Jehoshafati akati kuna mambo weIsraeri: “Ndapota,+ tanga wabvunza kuti Jehovha anoti chii.”+ 6 Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita, varume vanenge 400, akati kwavari: “Ndiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti ndorega?” Ivo vakati: “Endai, uye Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

7 Jehoshafati akabva ati: “Pano hapana muprofita waJehovha here? Ngatibvunzeiwo nekwaari.”+ 8 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Kuchiine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha nekwaari;+ asi ini ndinomuvenga, nekuti haatomboprofiti zvinhu zvakanaka pamusoro pangu,+ asi zvakaipa chete.+ NdiMikaya mwanakomana waImra.” Asi Jehoshafati akati: “Mambo haafaniri kutaura zvakadaro.”

9 Saka mambo weIsraeri akashevedza mumwe wevakuru vemumuzinda akati: “Kurumidza kuuya naMikaya mwanakomana waImra.”+ 10 Mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara mumwe nemumwe pachigaro chake cheumambo, vakapfeka nguo dzeumambo, vari paburiro* pagedhi reSamariya, vaprofita vese vachiprofita vari pamberi pavo.+ 11 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva agadzira nyanga dzake dzesimbi akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Muchatunga* vaSiriya neidzi kusvikira mavaparadza.’” 12 Vamwe vaprofita vese vakanga vachiprofitawo saizvozvo, vachiti: “Kwidzai kuRamoti-giriyedhi uye muchakunda; Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

13 Saka nhume yakanga yaenda kunoshevedza Mikaya yakati kwaari: “Inzwa! Mashoko ari kutaurwa nevaprofita vese akanaka kuna mambo. Ndapota, shoko rako ngarifanane nemashoko avo, utaure zvinhu zvakanaka.”+ 14 Asi Mikaya akati: “NaJehovha mupenyu, chero zvandichaudzwa naJehovha ndizvo zvandichataura.” 15 Akabva apinda maiva namambo, uye mambo akamubvunza kuti: “Mikaya, tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti tirege?” Akabva apindura achiti: “Endai uye muchakunda; Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.” 16 Mambo akabva ati kwaari: “Ndinofanira kukuita kuti upike kangani kuti ungondiudza chokwadi chega muzita raJehovha?” 17 Saka akati: “Ndiri kuona vaIsraeri vese vakapararira mumakomo+ semakwai asina mufudzi. Jehovha ati: ‘Ava havana tenzi. Mumwe nemumwe ngaadzokere kumba kwake nerugare.’”

18 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Handina here kukuudza kuti, ‘Haasi kuzoprofita zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete’?”+

19 Mikaya akabva ati: “Saka inzwai shoko raJehovha: Ndaona Jehovha akagara pachigaro chake cheumambo,+ uye uto rese rekudenga rakamira pedyo naye, kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.+ 20 Jehovha abva ati, ‘Ndiani achanyengedza Ahabhi, kuti aende anofira kuRamoti-giriyedhi?’ Zvino mumwe anga achitaura izvi, mumwe achitaura zvimwewo. 21 Mumwe mweya+ wabva waenda ukamira* pamberi paJehovha ndokuti, ‘Ini ndichamunyengedza.’ Jehovha achibva ati kwauri, ‘Uchazviita sei?’ 22 Iwo ukati, ‘Ndichaenda, ndova mweya unonyengedza mumiromo yevaprofita vake vese.’+ Iye achibva ati, ‘Uchamunyengedza, uye uchabudirira. Enda uite saizvozvo.’ 23 Jehovha aisa mweya unonyengera mumiromo yevaprofita venyu vese ava,+ asi Jehovha ataura nezvedambudziko pamusoro penyu.”+

24 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva aswedera pedyo, akarova Mikaya padama akati: “Zvakatanga riini kuti mweya waJehovha unondipfuura uchienda kunotaura newe?”+ 25 Mikaya akapindura kuti: “Uchaziva kuti zvakatanga riini pazuva rauchapinda muimba yemukatikati kuti uhwande.” 26 Mambo weIsraeri akabva ati: “Tora Mikaya umuendese kuna Amone mukuru weguta nekuna Joashi mwanakomana wamambo. 27 Vaudze kuti, ‘Zvanzi namambo: “Isai munhu uyu mujeri+ uye mupei chingwa chakatapudzwa nemvura shoma kusvikira ndadzoka nerugare.”’” 28 Asi Mikaya akati: “Kana mukadzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni.”+ Akabva ati: “Mucherechedze, imi vanhu vese.”

29 Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwidza kuRamoti-giriyedhi.+ 30 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Ndichachinja nguo dzangu kuti ndirege kuzivikanwa, ndoenda kunorwa, asi iwe unofanira kupfeka nguo dzako dzeumambo.” Saka mambo weIsraeri akachinja nguo dzake kuti arege kuzivikanwa+ akaenda kunorwa. 31 Mambo weSiriya akanga arayira vakuru 32 vengoro dzake achiti:+ “Musarwa nemumwe munhu, mudiki kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri chete.” 32 Vakuru vengoro dzacho pavakangoona Jehoshafati, vakati nechemumwoyo: “Chokwadi uyu ndiye mambo weIsraeri.” Saka vakatsaukira kwaari kuti vamurwise; asi Jehoshafati akatanga kushevedzera kuti abatsirwe. 33 Vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri mambo weIsraeri, vakabva varega kumutevera.

34 Asi mumwe murume akangopfurawo neuta hwake asina kuzvironga, akabaya mambo weIsraeri nepanobatana nguo yake yesimbi. Saka mambo akati kumutyairi wake wengoro: “Tendeutsa ngoro undibudise muhondo,* nekuti ndakuvadzwa zvakanyanya.”+ 35 Hondo yakaramba ichipisa zuva racho rese, uye mambo akamira akaita zvekutsigirwa nevamwe mungoro, akatarisana nevaSiriya. Ropa raibuda paronda racho rakayerera richienda mungoro yehondo, uye akafa manheru.+ 36 Panenge pakunyura kwezuva, mumusasa makashevedzerwa kuti: “Munhu wese ngaaende kuguta rake! Munhu wese ngaaende kunyika yake!”+ 37 Saka mambo akafa, uye akaunzwa kuSamariya; vakaviga mambo muSamariya. 38 Pavakasuka ngoro yacho yehondo padziva reSamariya, imbwa dzakananzva ropa rake uye pfambi dzakageza imomo,* maererano neshoko rakanga rataurwa naJehovha.+

39 Kana iri nhoroondo yese yaAhabhi, zvese zvaakaita uye imba yenyanga dzenzou+ yaakavaka nemaguta ese aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 40 Ahabhi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Ahaziya+ akava mambo panzvimbo yake.

41 Jehoshafati+ mwanakomana waAsa, akanga ava mambo weJudha mugore rechina raMambo Ahabhi weIsraeri. 42 Jehoshafati aiva nemakore 35 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 25 muJerusarema. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi. 43 Akaramba achifamba munzira dzese dzababa vake Asa.+ Haana kutsauka padziri, uye akaita zvakarurama pamberi paJehovha.+ Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+ 44 Jehoshafati akaramba aine rugare namambo weIsraeri.+ 45 Kana iri nhoroondo yese yaJehoshafati, simba rake nekurwa kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 46 Akatsvairawo pfambi dzese dzechirume dzepatemberi+ munyika yacho idzo dzakanga dzasara mumazuva ababa vake Asa.+

47 Panguva iyoyo muEdhomu+ makanga musina mambo; paiva nemutevedzeri aiva pachigaro chamambo.+

48 Jehoshafati akagadzirawo ngarava dzeTashishi* kuti dziende kuOfiri kunotora goridhe,+ asi hadzina kuenda, nekuti ngarava dzacho dzakaparara paEziyoni-gebheri.+ 49 Panguva iyoyo Ahaziya mwanakomana waAhabhi ndipo paakati kuna Jehoshafati: “Rega varanda vangu vaende nevaranda vako nengarava,” asi Jehoshafati akaramba.

50 Jehoshafati akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake,+ uye akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi tateguru vake; uye mwanakomana wake Jehoramu+ akava mambo panzvimbo yake.

51 Ahaziya+ mwanakomana waAhabhi, akava mambo weIsraeri muSamariya mugore rechi17 raMambo Jehoshafati weJudha, uye akatonga Israeri kwemakore maviri. 52 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira yababa vake+ naamai vake+ nemunzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akanga aita kuti vaIsraeri vatadze.+ 53 Akaramba achishumira Bhaari,+ achimukotamira, uye akaramba achigumbura Jehovha Mwari waIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nababa vake.

ChiHeb., “nemazuva.”

Kana kuti “vamurwadzisa vachiti; vamutsiura vachiti.”

Kana kuti “uponese mweya wako nemweya wemwanakomana wako.”

Kana kuti “akadzikinura mweya wangu.”

Kana kuti “nyurusi rangu gadzi.”

Kana kuti “anoremekedzwa.”

ChiHeb., “Ndava kuenda nenzira yenyika yese.”

Kana kuti “uchaita nekuchenjera.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “unofanira kupinza bvudzi rake jena muGuva neropa.”

ChiHeb., “vakanga vaisa zviso zvavo pandiri.”

Kana kuti “nemweya wake.”

Kana kuti “dzinza remadzimambo.”

Kana kuti “nezvizvarwa zvake.”

Kana kuti “nekuzvizvarwa zvake.”

Kana kuti “Ropa rako richava pamusoro wako.”

Kana kuti “Akatora.”

ChiHeb., “huru.”

Kana kuti “mukomana mudiki.”

ChiHeb., “ndisingazivi kubuda nekupinda.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “vakaoma.” ChiHeb., “vanorema.”

ChiHeb., “mazuva mazhinji.”

Kana kuti “mweya yevavengi.”

ChiHeb., “mumazuva ako ese.”

ChiHeb., “ndichawedzera mazuva ako.”

Kana kuti “mumaoko ake.” ChiHeb., “pachipfuva chake.”

ChiHeb., “vakatya.”

Kana kuti “machinda.”

Idzi isimbi dzaishandiswa sezvihuri.

Kureva, Yufratesi.

Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, kumavirira kwaYufratesi.

Nhamba iyi inowanikwa mune zvimwe zvinyorwa uye munyaya yemuBhaibheri yakafanana neiyi. Zvimwe zvinyorwa zvinoti 40 000.

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Kana kuti “unonzwisisa.”

Kana kuti “Akataura.”

Kana kuti “zvisikwa zvinobhururuka.”

Zvichida pari kureva zvisikwa zvakadai semadzvinyu, nyoka, nehwiza.

Kana kuti “akanga agara achida Dhavhidhi.”

Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “sungano.”

Kana kuti “rekutakura zvinorema.”

ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Ona Mashoko Ekuwedzera B8.

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “petemberi yeimba.”

Apa pari kureva Nzvimbo Tsvene.

ChiHeb., “rekurudyi.”

Kureva, Nzvimbo Tsvene, iyo yaiva pamberi peNzvimbo Tsvenetsvene.

ChiHeb., “matanda emafuta,” zvichida pari kurehwa mupaini unonzi Aleppo.

Kureva, Nzvimbo Tsvenetsvene.

ChiHeb., “mukati nekunze.”

Pagwatidziro pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Panogona kunge pachitaura nezvekugadzirwa kwemagwatidziro kana kuti kukura kwemasuo acho.

Apa pari kureva Nzvimbo Tsvene.

Panogona kunge pachitaura nezvekugadzirwa kwemagwatidziro kana kuti kukura kwemasuo acho.

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Kana kuti “muzinda wake.”

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Pagwatidziro pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Kana kuti “ane mativi mana.”

Kana kuti “Vharanda reChigaro.”

Kana kuti “bhuronzi,” pano nepamwe pese pachatevera pane shoko rekuti mhangura muchitsauko chino.

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Pano pari kureva Nzvimbo Tsvene.

Kana kuti “yekumaodzanyemba.”

Kureva kuti “Ngaasimbise [kureva Jehovha] Kwazvo.”

Kana kuti “yekuchamhembe.”

Zvinogona kunge zvichireva kuti “Nesimba.”

Kana kuti “tengi remvura.”

Angasvika masendimita 7,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Bhati rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “zvingoro 10 zvekutakurisa mvura.”

Kana kuti “raiva rakafara makubhiti mana.”

Kana kuti “nembato.” Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi waishandiswa kubvisa tambo inenge yabvira.

Kana kuti “zvaitwa zvitsvene.”

Kureva, Mutambo Wematumba.

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

ChiHeb., “mwanakomana wako, achabuda muchiuno chako.”

Kana kuti “mumwe wake oisa kutukwa paari.” Kureva, mhiko inozoguma nekutukwa kana munhu apika achinyepa kana kuti akaityora.

ChiHeb., “pekutukwa.”

ChiHeb., “pekutukwa.”

ChiHeb., “akaipa.”

ChiHeb., “akarurama.”

Kana kuti “mavaninipisa.”

ChiHeb., “munyika yemagedhi ake.”

Kana kuti “kwemukurumbira wenyu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “pane chese chavanokumbira.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

ChiHeb., “rechi8,” kureva, zuva rakatevera mazuva 7 ekupedzisira.

Kana kuti “nemuzinda wamambo.”

ChiHeb., “chirevo.”

Kana kuti “nemuzinda wamambo.”

ChiHeb., “akanga asina kunaka mumaziso ake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Nyika Pasina.”

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “muzinda wake.”

Kana kuti “Miro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”

Kana kuti “sechipo chepamuchato; seroora rinobva kumhuri yemukadzi.”

Kana kuti “akavaka masvingo ekukomberedza.”

Kana kuti “agadzira Miro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”

Kana kuti “nezvirahwe.”

ChiHeb., “hapana chakanga chakavanzika kuna.”

ChiHeb., “akasara asina mweya maari.”

Kana kuti “pemashoko enyu.”

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “nedzemuzinda wamambo.”

ChiHeb., “zvaakamupa maererano neruoko rwaMambo Soromoni.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

MuMagwaro echiHebheru, maina rakaenzana nemagiramu 570. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “vaitsvaga chiso chaSoromoni.”

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kubva kuIjipiti nekuKuwe; vanhu vamambo vaitengesa vainoatenga kuKuwe,” zvimwe kureva kuKirikiya.

Kana kuti “Regai kuroorerana nawo.”

Kana kuti “kunyatsozvipira.”

Apa hapasi kureva kuti mambokadzi uyu aitonga.

Dzimwe shanduro dzinoti, “akamurumura.”

ChiHeb., “paakauraya.”

Kana kuti “Miro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”

Kana kuti “zvinodiwa nemweya wako.”

Kana kuti “reudzvinyiriri.”

Kana kuti “abvunza vakuru.”

Kana kuti “nevakuru.”

Kana kuti “nevakuru.”

ChiHeb., “kumatende.”

Kana kuti “avaka rusvingo rwekudzivirira.”

Kana kuti “akanovaka rusvingo rwekudzivirira.”

Kana kuti “madota ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

ChiHeb., “aizadza ruoko rwake.”

Kana kuti “Utaure naye izvi neizvi.”

Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

Kureva, Yufratesi.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “yemuzinda wamambo.”

ChiHeb., “vevamhanyi.”

Anonziwo Abhija.

Kana kuti “kunyatsozvipira.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

ChiHeb., “pachinzvimbo chavo samambokadzi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “wakanyatsoperera.”

ChiHeb., “kwemazuva ake ese.”

Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”

Kana kuti “yemuzinda wamambo.”

Kana kuti “sungano.”

Kana kuti “sungano yako.”

Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”

Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”

Kana kuti “aakakomberedza nemasvingo; aakavakazve.”

ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

Kana kuti “pavatsivi vake veropa.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “mumuzinda wamambo.”

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva kuti “Redzinza rekwaShemeri.”

ChiHeb., “ishe.”

Kana kuti “patemberi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nheyo.”

Kureva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha.”

ChiHeb., “wandinomira pamberi pake.”

Kana kuti “muRwizi rwaKeriti.”

Kana kuti “muRwizi rwaKeriti.”

Kana kuti “Ndinei nemi, . . . ?”

Kana kuti “mweya wemwana.”

Kana kuti “nekuhova dzese.”

ChiHeb., “wandinomira pamberi pake.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “muchikamhina.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ari parwendo.”

Kana kuti “vachiita sevaprofita.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “mweya wako uve semweya wemumwe nemumwe.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “mweya wake ufe.”

Kana kuti “chiurayai henyu mweya wangu.”

Kana kuti “kuuraya mweya wangu.”

Kana kuti “kuuraya mweya wangu.”

Kureva kuti “Mwari Ruponeso.”

Kana kuti “mumatumba avo.”

Kana kuti “mumatumba.”

Kureva, masutso anotevera.

ChiHeb., “maverenga.”

Kureva, mumasutso.

Kana kuti “madzimambo ane rudo rusingachinji.”

Kana kuti “kuuraya mweya wenyu.”

Kana kuti “regai mweya wangu uri mupenyu.”

Kana kuti “kuva nemigwagwa.”

Kana kuti “Nesungano iyi.”

Zvinoita sekuti pari kunzi “vanakomana vevaprofita” pari kureva boka revaprofita kana kuti vaprofita vane zvimwe zvinhu zvavaidzidziswa pabasa ravo.

Kana kuti “mweya wako uchava panzvimbo yemweya wake.”

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “mweya wako uchava panzvimbo yemweya wake.”

ChiHeb., “mweya wenyu wakasuruvara.”

ChiHeb., “wazvitengesa.”

ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

ChiHeb., “uyo akazvitengesa.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Muchasunda.”

Kana kuti “Imwe ngirozi yabva yaenda ikamira.”

ChiHeb., “mumusasa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “imbwa dzakananzva ropa rake makagezerwa nepfambi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe