RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Revhitiko 1:1-27:34
  • Revhitiko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Revhitiko
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Revhitiko

REVHITIKO

1 Uye Jehovha akashevedza Mozisi akataura naye ari mutende rekusanganira,+ achiti: 2 “Taura nevaIsraeri,* uvaudze kuti, ‘Kana mumwe wenyu achipa Jehovha chibayiro kubva pazvipfuwo, chibayiro chacho chinofanira kunge chiri chemombe kana gwai kana mbudzi.+

3 “‘Kana chibayiro chake chiri chibayiro chinopiswa chemombe, anofanira kuuya nemukono wakanaka.+ Anofanira kuuya nacho pasuo retende rekusanganira pamberi paJehovha opa zvichibva pamwoyo.+ 4 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chacho chinopiswa, uye chichagamuchirwa kuti iye ayananisirwe.

5 “‘Mukono wacho mudiki unofanira kubva waurayirwa pamberi paJehovha, uye vanakomana vaAroni, vapristi,+ vanofanira kuuya neropa racho, vosasa ropa racho kumativi ese eatari+ iri pasuo retende rekusanganira. 6 Chibayiro chinopiswa chinofanira kuvhiyiwa, chochekwa-chekwa.+ 7 Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuisa moto paatari,+ voisa huni mumoto. 8 Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuronga nhengo dzacho dzechibayiro,+ pamwe nemusoro nemafuta* pamusoro pehuni dziri mumoto uri paatari. 9 Ura hwacho nemazondo acho ngazvisukwe nemvura, uye mupristi anofanira kuita kuti chipfungaire chese paatari sechibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.+

10 “‘Kana achipa chibayiro chake chinopiswa chiri chegwai+ diki kana mbudzi, anofanira kuuya nemukono, wakanaka.+ 11 Chinofanira kuurayirwa kurutivi rwekuchamhembe rweatari pamberi paJehovha, uye vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kumativi ese eatari.+ 12 Anofanira kuchicheka-cheka, pamwe nemusoro wacho nemafuta,* uye mupristi anofanira kuronga nhengo dzacho pamusoro pehuni dziri mumoto uri paatari. 13 Ngaasuke ura hwacho nemazondo acho nemvura, uye mupristi anofanira kuuya nacho chese, oita kuti chipfungaire paatari. Icho chibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.

14 “‘Asi kana chibayiro chake chinopiswa chaanopa Jehovha chiri cheshiri, chinofanira kuva chenjiva kana kuti chehangaiwa diki.+ 15 Mupristi anofanira kuuya nacho kuatari, odimbura musoro wacho achiita zvekubvarura nenzara, oita kuti chipfungaire pamusoro peatari, asi ropa racho rinofanira kudururirwa parutivi rweatari. 16 Anofanira kubvisa chihururu chacho neminhenga yacho ozvikanda parutivi rweatari, kumabvazuva, panoisirwa madota.*+ 17 Anofanira kuchitsemura nepamapapiro acho asingachidimbure kuti chive zvidimbu zviviri. Mupristi anofanira kubva aita kuti chipfungaire paatari pamusoro pehuni dziri mumoto. Icho chibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.

2 “‘Kana munhu akauya nemupiro wezviyo*+ kuna Jehovha, mupiro wake unofanira kuva wefurawa yakatsetseka, uye anofanira kuudira mafuta, ouisa zvinonhuhwirira zvichena.+ 2 Anofanira kubva auya nawo kuvanakomana vaAroni, vapristi, uye mupristi wacho achanokora furawa yacho yakatsetseka ine mafuta pamwe chete nezvinonhuhwirira zvayo zvese, uye achaita kuti chitsama ichi chipfungaire pamusoro peatari chichimiririra mupiro wabviswa,*+ mupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha. 3 Zvese zvinenge zvasara pamupiro wacho wezviyo ndezvaAroni nevanakomana vake+ kuti chive chinhu chitsvenetsvene+ chinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto.

4 “‘Kana ukauya nemupiro wezviyo wakabikirwa muovheni, mupiro wacho unofanira kuva wefurawa yakatsetseka, zvingwa zveraundi* zvisina mbiriso zvakasanganiswa nemafuta, kana kuti zvingwa zvitete zvisina mbiriso zvakazorwa mafuta.+

5 “‘Kana mupiro wako uri wezviyo, wakabikirwa pagango,+ unofanira kuva wefurawa yakatsetseka isina mbiriso, yakasanganiswa nemafuta. 6 Ngaumedurwe-medurwe, woudira mafuta.+ Iwo mupiro wezviyo.

7 “‘Kana mupiro wako uri wezviyo, wakabikirwa mupani, unofanira kuva wefurawa yakatsetseka nemafuta. 8 Munofanira kuuya nemupiro wezviyo wakabikwa nezvinhu izvi kuna Jehovha, uye uchapiwa mupristi, uyo achaswedera nawo pedyo neatari. 9 Uye mupristi achatora mumwe mupiro wacho wezviyo uchimiririra mupiro wese wabviswa*+ oita kuti upfungaire paatari semupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.+ 10 Zvinenge zvasara pamupiro wezviyo ndezvaAroni nevanakomana vake, sechimwe chezvinhu zvitsvenetsvene zvinopiwa Jehovha semupiro unopiswa nemoto.+

11 “‘Hapana mupiro wezviyo wamunopa Jehovha unofanira kuiswa mbiriso,+ nekuti hamufaniri kuita kuti mbiriso kana uchi zvipfungaire semupiro unopisirwa Jehovha nemoto.

12 “‘Munogona kuuya nazvo kuna Jehovha semupiro wezvibereko zvekutanga,+ asi hazvifaniri kuunzwa paatari semupiro unopiswa unonhuhwirira zvakanaka.*

13 “‘Mupiro wako wese wezviyo unofanira kurungwa nemunyu; uye haufaniri kuita kuti munyu wesungano yaMwari wako ushayikwe pamupiro wako wezviyo. Pese paunounza mupiro wako, uupe pamwe nemunyu.+

14 “‘Kana uchipa Jehovha mupiro wezviyo wezvibereko zvinotanga kuibva, unofanira kuuya nehura* dzezviyo dzisati dzaoma dzakagochwa, tsanga itsva dzakakuyiwa asi dzisina kuita upfu, semupiro wezviyo zvinotanga kuibva.+ 15 Unofanira kuudira mafuta, wouisa zvinonhuhwirira zvichena. Iwo mupiro wezviyo. 16 Mupristi achaita kuti tsanga idzi dzakakuyiwa asi dzisina kuita upfu uye mafuta pamwe nezvinonhuhwirira zvacho zvipfungaire zvichimiririra mupiro wese wabviswa,*+ kuti zvive mupiro unopisirwa Jehovha nemoto.

3 “‘Kana chibayiro chake chiri chibayiro cherugare,*+ uye kana achipa iri mombe, ingava hono kana hadzi, anofanira kuuya neyakanaka pamberi paJehovha. 2 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chake, uye chichaurayirwa pasuo retende rekusanganira; uye vanakomana vaAroni, vapristi, vachasasa ropa racho kumativi ese eatari. 3 Anofanira kuuya nezvimwe zvinhu zvaanobvisa pachibayiro cherugare kuti chive chibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto+ zvinoti: mafuta+ emudumbu, mafuta ese akabatira paura, 4 uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa.+ 5 Vanakomana vaAroni vanofanira kuita kuti zvipfungaire paatari pamusoro pechibayiro chinopiswa chiri pahuni dziri mumoto;+ ichi chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.+

6 “‘Kana chibayiro chake chaanopa Jehovha kuti chive chibayiro cherugare chiri chegwai kana mbudzi, chinofanira kunge chakanaka, chingava chikono kana chikadzi.+ 7 Kana chibayiro chake chiri chegwayana, anofanira kuuya nacho pamberi paJehovha. 8 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chake, uye chinofanira kuurayirwa pamberi petende rekusanganira. Vanakomana vaAroni vanofanira kusasa ropa racho kumativi ese eatari. 9 Achapa mafuta anobva pachibayiro cherugare sechibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto.+ Achachekera nechepapfupa remusana muswe wakakora, obvisa mafuta emudumbu, mafuta ese akabatira paura, 10 uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa.+ 11 Uye mupristi achaita kuti chipfungaire paatari sezvekudya,* chibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto.+

12 “‘Kana chibayiro chake chiri chembudzi, anofanira kuuya nacho pamberi paJehovha. 13 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wacho, uye chinofanira kuurayirwa pamberi petende rekusanganira, uye vanakomana vaAroni vanofanira kusasa ropa racho kumativi ese eatari. 14 Achapa sechibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto mafuta emudumbu, mafuta ese akabatira paura,+ 15 uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa. 16 Mupristi achaita kuti zvipfungaire paatari sezvekudya,* chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka.* Mafuta ese ndeaJehovha.+

17 “‘Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese, kwese kwamuchagara: Hamufaniri kudya mafuta kana ropa+ zvachose.’”

4 Jehovha akatizve kuna Mozisi: 2 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kana munhu akatadza asingazivi,+ achiita chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa:

3 “‘Kana mupristi akazodzwa+ akaita chivi+ oita kuti vanhu vave nemhosva, anofanira kuuya kuna Jehovha nemukono wemombe mudiki wakanaka kuti uve chibayiro chechivi nekuti akaita chivi.+ 4 Anofanira kuuya nemukono wacho kusuo retende rekusanganira+ pamberi paJehovha, oisa ruoko rwake pamusoro pemukono wacho, ourayira mukono wacho pamberi paJehovha.+ 5 Mupristi wacho akazodzwa,+ anofanira kubva atora rimwe ropa remukono wacho, opinda naro mutende rekusanganira; 6 uye mupristi achanyika munwe wake muropa racho,+ osasa ropa racho kanomwe+ pamberi paJehovha, pamberi peketeni renzvimbo tsvene. 7 Mupristi achaisawo rimwe ropa racho panyanga dzeatari yerusenzi inonhuhwirira,+ iri pamberi paJehovha mutende rekusanganira; uye achadururira ropa remukono wacho rinenge rasara muzasi meatari yekupisira zvibayiro,+ iri pasuo retende rekusanganira.

8 “‘Achabvisa mafuta ese emukono wacho wechibayiro chechivi, kusanganisira mafuta emudumbu, uye mafuta ese akabatira paura, 9 uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa.+ 10 Zvichange zvakafanana nezvinobviswa pamukono wemombe wechibayiro cherugare.+ Uye mupristi anofanira kuita kuti zvipfungaire pamusoro peatari yekupisira zvibayiro.

11 “‘Asi dehwe remukono wacho nenyama yawo yese pamwe chete nemusoro wawo, mazondo awo, ura hwawo, nendove yawo,+ 12 mutumbi wawo wese, anofanira kuita kuti ubudiswe kunze kwemusasa kunzvimbo yakachena kunorasirwa madota,* uye anofanira kuupisira pahuni dziri mumoto.+ Mutumbi wacho unofanira kupisirwa kunorasirwa madota.

13 “‘Kana ungano yese yaIsraeri ikava nemhosva nekuita chivi isingazivi,+ uye ungano yacho yanga isingazivi kuti yaita chimwe chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa,+ 14 chivi chacho chozivikanwa, ungano inofanira kubvisa mukono wemombe mudiki kuti uve chibayiro chechivi, youya nawo pamberi petende rekusanganira. 15 Vakuru veungano vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wemukono wacho pamberi paJehovha, uye mukono wacho uchaurayirwa pamberi paJehovha.

16 “‘Mupristi akazodzwa anofanira kubva auya nerimwe ropa remukono wacho mutende rekusanganira. 17 Mupristi anofanira kunyika munwe wake muropa racho, orisasa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi peketeni.+ 18 Achabva aisa rimwe ropa racho panyanga dzeatari+ iri pamberi paJehovha, iri mutende rekusanganira; uye achadururira rimwe ropa rese muzasi meatari yekupisira zvibayiro, iri pasuo retende rekusanganira.+ 19 Achabvisa mafuta awo ese, oita kuti apfungaire paatari.+ 20 Achaita nemukono wacho sezvaakaita nemukono uya wechibayiro chechivi. Ndizvo zvaachaita nawo, uye mupristi achavayananisira,+ uye vachakanganwirwa. 21 Anofanira kubudisa mukono wacho kunze kwemusasa uye anofanira kuupisa, sekupisa kwaakaita mukono wekutanga.+ Icho chibayiro chechivi cheungano.+

22 “‘Kana muchinda+ akaita chivi asingazivi, nekuita chimwe chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa, ova nemhosva, 23 kana kuti kana akaziva nezvechivi chaakaita achityora murayiro, anofanira kuuya nembudzana hono yakanaka kuti ive chibayiro. 24 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wembudzi yacho, oiurayira panourayirwa chibayiro chinopiswa pamberi paJehovha.+ Icho chibayiro chechivi. 25 Mupristi achatora rimwe ropa rechibayiro chechivi nemunwe wake, oriisa panyanga+ dzeatari yekupisira zvibayiro, odururira rinenge rasara muzasi meatari yechibayiro chinopiswa.+ 26 Achaita kuti mafuta acho ese apfungaire paatari sezvinoita mafuta echibayiro cherugare;+ uye mupristi achamuyananisira chivi chake, uye achakanganwirwa.

27 “‘Kana mumwewo munhu akaita chivi asingazivi, ova nemhosva, nekuita chimwe chinhu chakanzi naJehovha hachifaniri kuitwa,+ 28 kana kuti akaziva nezvechivi chaakaita, anofanira kuuya nembudzana hadzi yakanaka kuti ape sechibayiro chechivi chake chaakaita. 29 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chacho chechivi, ochiurayira panourayirwa chibayiro chinopiswa.+ 30 Mupristi achatora rimwe ropa racho nemunwe wake, oriisa panyanga dzeatari yekupisira zvibayiro, uye achadururira rinenge rasara rese muzasi meatari.+ 31 Anofanira kubvisa mafuta aro ese,+ sekubviswa kunoitwa mafuta echibayiro cherugare,+ uye mupristi anofanira kuita kuti apfungaire paatari ova chinhu chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha; uye mupristi anofanira kumuyananisira, uye achakanganwirwa.

32 “‘Asi kana akauya negwayana kuti rive chibayiro chake chechivi, ngaauye negwayana gadzi rakanaka. 33 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chacho chechivi, ochiurayira panourayirwa chibayiro chinopiswa.+ 34 Mupristi achatora rimwe ropa racho nemunwe wake, oriisa panyanga dzeatari yekupisira zvibayiro,+ uye achadururira rinenge rasara rese muzasi meatari. 35 Anofanira kubvisa mafuta aro ese, sekubviswa kunoitwa mafuta egwayana rechibayiro cherugare, uye mupristi achaita kuti apfungaire paatari pamusoro pezvibayiro zvaJehovha zvinopiswa nemoto;+ uye mupristi achamuyananisira chivi chaakaita, uye achakanganwirwa.+

5 “‘Kana munhu akatadza pakuti akanzwa chiziviso chekuti kuri kudiwa chapupu,*+ asi iye orega kutaura chivi chakaitwa nemumwe munhu kunyange zvazvo ari chapupu kana kuti akaona chivi ichocho chichiitwa, kana kuti akasvika pakuziva nezvacho, munhu iyeye achazvidavirira kukanganisa kwake.

2 “‘Kana kuti munhu akabata chero chinhu chisina kuchena, ingava mhuka yemusango isina kuchena yakafa, kana chipfuwo chisina kuchena, kana zvisikwa zvisina kuchena zvinobhururuka zvakawanda,+ munhu iyeye haana kuchena uye ane mhosva kunyange asingazivi kuti ndizvo zvaaita. 3 Kana kuti munhu akabata zvinhu zvisina kuchena asingazivi,+ kureva chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena chingamusvibisa, ozoziva nezvazvo, anenge ava nemhosva.

4 “‘Kana kuti munhu akamhanyira kupika kuita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana kuti chakaipa, chero chaangapika, uye anga asingazvizivi, asi ozoona kuti akakurumidza kupika, anova nemhosva.*+

5 “‘Kana akava nemhosva yechimwe chezvinhu izvi, anofanira kureurura+ kuti akatadza sei. 6 Anofanira kuuyawo nechibayiro chemhosva kuna Jehovha chechivi chaakaita.+ Chibayiro chacho chechivi chinofanira kuva chegwayana gadzi kana kuti chembudzana hadzi. Mupristi achabva amuyananisira chivi chake.

7 “‘Asi kana asingagoni kuwana gwai, anofanira kuuya kuna Jehovha nenjiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri+ kuti chive chibayiro chemhosva nemhaka yechivi chaakaita, imwe iri yechibayiro chechivi uye imwe yacho iri yechibayiro chinopiswa.+ 8 Anofanira kuuya nadzo kumupristi, uyo achatanga kupa iya yechibayiro chechivi, oidimbura musoro achiita zvekuubvarura nenzara asi achiusiya wakarembera. 9 Achasasa rimwe ropa rechibayiro chechivi kurutivi rweatari, asi ropa rinosara richadururirwa muzasi meatari.+ Icho chibayiro chechivi. 10 Achapa imwe yacho semapiro agara achiitwa chibayiro chinopiswa;+ uye mupristi achamuyananisira chivi chake chaakaita, uye achakanganwirwa.+

11 “‘Asi kana asingagoni kuwana njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechegumi cheefa*+ yefurawa yakatsetseka semupiro wake wechivi chaakaita kuti uve mupiro wechivi. Haafaniri kuuisa mafuta kana kuisa zvinonhuhwirira zvichena pamusoro pawo, nekuti iwo mupiro wechivi. 12 Achauya nawo kumupristi, uye mupristi anofanira kunokora furawa yacho kuti imiririre mupiro wabviswa* uye anofanira kuita kuti ipfungaire paatari pamusoro pezvibayiro zvinopisirwa Jehovha nemoto. Iwo mupiro wechivi. 13 Mupristi achamuyananisira pachivi chipi zvacho chaakaita pazvivi izvi, uye achakanganwirwa.+ Zvinenge zvasara pamupiro wacho zvichava zvemupristi,+ sezvinoitwa pamupiro wezviyo.’”*+

14 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 15 “Kana munhu akava asina kutendeka pakuti anotadzira zvinhu zvitsvene zvaJehovha asingazivi,+ anofanira kutora gondohwe rakanaka pamakwai ake ouya naro kuna Jehovha kuti rive chibayiro chemhosva;+ mutengo waro kana uchiyerwa mumashekeri* esirivha unofanira kunge uchienderana neshekeri renzvimbo tsvene.*+ 16 Achabvisa muripo wechivi chaakaitira nzvimbo tsvene uye achawedzerawo chikamu chimwe chete pazvishanu pamutengo waro.+ Achachipa mupristi, kuti mupristi wacho amuyananisire+ negondohwe rechibayiro chemhosva, uye achakanganwirwa.+

17 “Kana munhu akatadza pakuti anoita chimwe chezvinhu zvinorayirwa naJehovha kuti hazvifaniri kuitwa, kunyange asina kuzviziva, munhu iyeye anongonzi ane mhosva uye achazvidavirira kutadza kwake.+ 18 Anofanira kutora pamakwai ake gondohwe rakanaka rinoda kuenderana nemutengo wakatarwa, ouya naro kumupristi kuti chive chibayiro chemhosva.+ Mupristi achabva amuyananisira kukanganisa kwaakaita asingazivi, uye achakanganwirwa. 19 Icho chibayiro chemhosva. Munhu iyeye anenge atova nemhosva nekuti anenge atadzira Jehovha.”

6 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: 2 “Kana munhu akatadza uye akaita zvinhu zvekusatendeka kuna Jehovha+ nekunyengera muvakidzani wake pamusoro pechinhu chaakachengeteswa,+ kana kuti chaakabatiswa, kana kuti akabira kana kubiridzira muvakidzani wake, 3 kana kuti akawana chinhu chakarasika, oreva nhema pamusoro pacho, uye kana akapika zvenhema pamusoro pechivi chipi zvacho chaangaita,+ izvi ndizvo zvaanofanira kuita: 4 Kana aine chivi chaakaita uye akabatwa kuti ane mhosva, anofanira kudzorera chinhu chaakaba, chinhu chaakatorera munhu, chaakabiridzira, chinhu chaakachengeteswa, kana kuti chinhu chakarasika chaakawana, 5 kana kuti chero chinhu chaakapika zvenhema nezvacho, anofanira kuchiripa zvakakwana,+ uye achawedzera chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu zveukoshi hwacho. Achapa muridzi wacho pazuva raanobatwa kuti ane mhosva. 6 Uye achatora pamakwai ake gondohwe rakanaka rinoenderana nemutengo wakatarwa sechibayiro chake chemhosva, ouya naro kumupristi kuti ape kuna Jehovha kuti rive chibayiro chemhosva.+ 7 Mupristi achamuyananisira pamberi paJehovha, uye achakanganwirwa chero chaangava akaita, chakaita kuti ave nemhosva.”+

8 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: 9 “Rayira Aroni nevanakomana vake, uchiti, ‘Uyu ndiwo mutemo wechibayiro chinopiswa:+ Chibayiro chinopiswa chicharamba chichitsva pamoto unenge uri paatari usiku hwese kusvikira mangwanani, uye moto unenge uri paatari unofanira kuramba uchibvira. 10 Mupristi anofanira kupfeka nguo yake yebasa yejira,+ uye ngaapfeke chikabudura* chejira+ pamuviri wake. Kana adaro achabvisa madota*+ echibayiro chinopiswa chakatsva nemoto pamusoro peatari, oaisa parutivi peatari yacho. 11 Anofanira kubvisa nguo dzake,+ opfeka dzimwe nguo, oendesa madota acho kunzvimbo yakachena iri kunze kwemusasa.+ 12 Moto unofanira kuramba uchibvira paatari. Haufaniri kudzima. Mupristi anofanira kuisa huni+ ipapo mangwanani ega ega, oronga chibayiro chinopiswa pamusoro padzo, uye achaita kuti mafuta ezvibayiro zverugare apfungaire pamoto.+ 13 Moto unofanira kugara uchibvira paatari. Haufaniri kudzima.

14 “‘Uyu ndiwo mutemo wemupiro wezviyo:*+ Imi vanakomana vaAroni munofanira kuuya nawo kuna Jehovha pamberi peatari. 15 Mumwe wavo anofanira kunokora furawa yakatsetseka yemupiro wezviyo nemamwe emafuta acho nezvinonhuhwirira zvichena zvese zviri pamusoro pemupiro wezviyo, uye anofanira kuita kuti zvipfungaire pamusoro peatari zvichinhuhwirira zvakanaka* zvichimiririra mupiro wabviswa* kuna Jehovha.+ 16 Aroni nevanakomana vake vachadya zvinenge zvasara pamupiro uyu wezviyo.+ Ngazvidyiwe zviri chingwa chisina mbiriso munzvimbo tsvene. Vachazvidyira muchivanze chetende rekusanganira.+ 17 Hazvifaniri kubikwa pamwe chete nechinhu chero chipi zvacho chine mbiriso.+ Ndakazvipa kuti zvive mugove wavo unobva pamipiro yangu inopiswa nemoto.+ Icho chinhu chitsvenetsvene,+ sezvakaita mupiro wechivi uye sezvakaita mupiro wemhosva. 18 Vanhurume vese pavana vaAroni vachazvidya.+ Iwo mugove wavo unobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto uchagara uripo muzvizvarwa zvenyu zvese.+ Chinhu chese chinozvigunzva chichava chitsvene.’”

19 Jehovha akataurazve naMozisi achiti: 20 “Uyu ndiwo mupiro uchauya naAroni nevanakomana vake kuna Jehovha pazuva raanozodzwa:+ chegumi cheefa*+ yefurawa yakatsetseka kuti uve mupiro wezviyo,+ hafu yawo ichipiwa mangwanani uye imwe yacho manheru, uye izvi ndizvo zvichagara zvichiitwa. 21 Ngaubikirwe mugango+ nemafuta. Uuye nawo wakanyatsosanganiswa nemafuta, womedura-medura mupiro iwoyo wezviyo unenge wabikwa sechingwa woupa kuti unhuhwirire zvakanaka* kuna Jehovha. 22 Uchapiwa nemupristi akazodzwa achamutsiva achibva pavanakomana vake.+ Murau uyu uchagara uripo: Mupiro unopiswa wese uchaitwa kuti upfungaire kuna Jehovha. 23 Mupiro wese wezviyo unopiwa nemupristi unofanira kupiswa wese. Haufaniri kudyiwa.”

24 Jehovha akataurazve naMozisi achiti: 25 “Udza Aroni nevanakomana vake kuti, ‘Uyu ndiwo mutemo wechibayiro chechivi:+ Panogara pachiurayirwa chibayiro chinopiswa+ ndipo panourayirwawo chibayiro chechivi pamberi paJehovha. Icho chinhu chitsvenetsvene. 26 Mupristi anochipa kana paitwa chivi ngaachidye.+ Chichadyirwa munzvimbo tsvene, muchivanze chetende rekusanganira.+

27 “‘Chese chinogunzva nyama yacho chichava chitsvene, uye kana munhu akadonhedzera ropa racho panguo yake, unofanira kuigezera munzvimbo tsvene. 28 Hari yachakabikirwa inofanira kuputswa. Asi kana chakabikirwa mumudziyo wemhangura, ngaubve wakweshwa, wosukwa nemvura.

29 “‘Vanhurume vese vanoshanda sevapristi vachachidya.+ Icho chinhu chitsvenetsvene.+ 30 Asi hapana chibayiro chechivi chinofanira kudyiwa kana rimwe ropa racho rapinzwa mutende rekusanganira kuzoyananisira munzvimbo tsvene.+ Chinofanira kupiswa nemoto.

7 “‘Uyu ndiwo mutemo wechibayiro chemhosva:+ Icho chinhu chitsvenetsvene. 2 Vachaurayira chibayiro chemhosva munzvimbo mavanourayira zvibayiro zvinopiswa, uye ropa racho+ richasaswa kumativi ese eatari.+ 3 Achapa mafuta acho ese,+ pamwe nemuswe wakakora, mafuta emudumbu, 4 uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa.+ 5 Mupristi achaita kuti zvipfungaire paatari sechibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto.+ Icho chibayiro chemhosva. 6 Vanhurume vese vanoshanda sevapristi vachachidya,+ uye chinofanira kudyirwa munzvimbo tsvene. Icho chinhu chitsvenetsvene.+ 7 Mutemo wechibayiro chechivi unoshandawo pachibayiro chemhosva; nyama yacho ndeyemupristi anoyananisira nechibayiro chacho.+

8 “‘Kana mupristi akapa chibayiro chinopiswa chabviswa nemunhu, dehwe+ rechibayiro chacho richava remupristi.

9 “‘Mipiro yese yezviyo* inobikirwa muovheni kana mupani kana mugango+ ndeyemupristi anoipa. Ichava yake.+ 10 Asi mipiro yese yezviyo inenge yakasanganiswa nemafuta+ kana kuti isina+ ichava yevanakomana vese vaAroni; vese vachawana migove yakaenzana.

11 “‘Uyu ndiwo mutemo wechibayiro cherugare+ chingauya nemunhu kuna Jehovha: 12 Kana akauya nacho achiratidza kuonga,+ anofanira kuuya nechibayiro chacho chekuonga pamwe chete nezvingwa zvisina mbiriso zveraundi* zvakakanyiwa nemafuta, zvingwa zvitete zvisina mbiriso zvakazorwa mafuta, uye zvingwa zveraundi* zvakabikwa nefurawa yakatsetseka yakanyatsosanganiswa nemafuta. 13 Ngaauye nechibayiro chake pamwe chete nezvingwa zveraundi* zvakaiswa mbiriso pamwe chete nezvibayiro zvake zverugare zvekuratidza kuti ari kuonga. 14 Achabvisa chingwa chimwe chete pamhando imwe neimwe yemupiro wake kuti chive mugove mutsvene kuna Jehovha; chichava chemupristi anosasa ropa rezvibayiro zverugare.+ 15 Nyama yechibayiro chake cherugare chaanopa achiratidza kuonga ngaidyiwe pazuva raanochipa. Haafaniri kuchengeta imwe yayo kusvikira mangwanani.+

16 “‘Kana chibayiro chake chiri mupiro wemhiko+ kana kuti wekungopawo zvake achizvidira,+ chinofanira kudyiwa pazuva raanouya nechibayiro chake, uye zvinenge zvasara zvinogonawo kudyiwa pazuva rinotevera. 17 Asi nyama yese yechibayiro chacho inosara inofanira kupiswa nemoto pazuva rechitatu.+ 18 Asi kana imwe nyama yechibayiro chake cherugare ikadyiwa pazuva rechitatu, munhu wacho aipa haazogamuchirwi. Haazotorwi seapa chibayiro; chibayiro chacho chinogumbura uye munhu anochidya achazvidavirira kukanganisa kwake.+ 19 Nyama inogunzva chero chinhu chisina kuchena ngairege kudyiwa. Inofanira kupiswa nemoto. Munhu wese akachena anogona kudya nyama yakachena.

20 “‘Asi munhu wese asina kuchena anodya nyama yechibayiro chaJehovha cherugare, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*+ 21 Kana munhu akagunzva* chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena, kungava kugunzva munhu asina kuchena+ kana kuti mhuka isina kuchena+ kana kuti chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena chinosemesa,+ odya imwe nyama yechibayiro chaJehovha cherugare, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.’”*

22 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 23 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Musadya chero mafuta zvawo+ emombe kana kuti egondowe diki kana kuti embudzana. 24 Mafuta emhuka yakafa yega kana kuti mafuta emhuka yakaurayiwa neimwe anogona kushandiswa mamwe mabasa, asi hamufaniri kutomboadya.+ 25 Nekuti munhu wese anodya mafuta emhuka yaanouya nayo kuti ive chibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto, anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*

26 “‘Musatombodya ropa+ munzvimbo dzese dzamunogara, ringava reshiri kana kuti remhuka. 27 Munhu wese anodya ropa chero ripi zvaro, anofanira kubviswa+ pakati pevanhu vake.’”*

28 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 29 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Munhu wese anopa Jehovha chibayiro chake cherugare achauya nezvimwe zvinhu zvinobviswa pachibayiro chacho cherugare kuna Jehovha.+ 30 Achauya akabata mafuta+ pamwe chete nechityu* kuti zvive chibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto, uye achazvivheyesa semupiro unovheyeswa+ pamberi paJehovha. 31 Mupristi achaita kuti mafuta acho apfungaire pamusoro peatari,+ asi chityu chichava chaAroni nevanakomana vake.+

32 “‘Muchapa mupristi chidya chekurudyi chinobva pazvibayiro zvenyu zverugare kuti chive mugove mutsvene.+ 33 Mwanakomana waAroni anenge apira ropa rezvibayiro zverugare nemafuta ndiye achapiwa chidya chekurudyi kuti chive mugove wake.+ 34 Nekuti ndinotora chityu chemupiro unovheyeswa nechidya chemugove mutsvene wezvibayiro zverugare zvevaIsraeri, uye ndinozvipa mupristi Aroni nevanakomana vake semurau uchagara uripo kuvaIsraeri.+

35 “‘Uyu ndiwo mugove waibva pamipiro yaJehovha inopiswa nemoto waifanira kuva wevapristi, Aroni nevanakomana vake, mugove wakasarudzwa musi waakavagadza kuti vashumire sevapristi vaJehovha.+ 36 Jehovha akarayira kuti vapiwe mugove uyu nevaIsraeri musi waakavazodza.+ Iwo murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvavo zvese.’”

37 Uyu ndiwo murayiro wemupiro unopiswa,+ mupiro wezviyo,+ mupiro wechivi,+ mupiro wemhosva,+ chibayiro chekugadza nacho,+ nechibayiro cherugare,+ 38 wakarayirwa Mozisi naJehovha muGomo reSinai+ pazuva raakarayira vaIsraeri kuti vauye nemipiro yavo kuna Jehovha murenje reSinai.+

8 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 2 “Tora Aroni nevanakomana vake,+ nenguo dzavo,+ mafuta ekuzodza nawo,+ mukono wemombe wechibayiro chechivi, makondohwe maviri, netswanda yechingwa chisina mbiriso,+ 3 uunganidze ungano yese pasuo retende rekusanganira.”

4 Mozisi akabva aita sezvaakanga arayirwa naJehovha, vanhu vakaungana pasuo retende rekusanganira. 5 Mozisi akati kuungano yacho: “Izvi ndizvo zvatanzi naJehovha tiite.” 6 Saka Mozisi akaita kuti Aroni nevanakomana vake vaswedere pedyo, akavageza nemvura.+ 7 Akabva amupfekedza nguo refu,+ akamusunga nebhandi rejira,+ akamupfekedza nguo isina maoko,+ akamupfekedza efodhi+ akaisunga zvakasimba nebhandi rakarukwa+ reefodhi. 8 Akazomupfekedza homwe yepachipfuva,+ akaisa Urimu neTumimu+ muhomwe yacho yepachipfuva. 9 Akabva aisa ngowani+ mumusoro make, akaisa karata kaipenya kegoridhe pangowani yacho nechemberi kwayo, karata katsvene,*+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

10 Mozisi akabva atora mafuta ekuzodza nawo, akazodza tebhenekeri nezvese zvaiva mairi,+ zvikava zvitsvene. 11 Akabva asasa mamwe acho pamusoro peatari kanomwe, akazodza atari nemidziyo yayo yese uye mudziyo wekuisira mvura yekugeza nechigadziko chawo kuti azvitsvenese. 12 Akazopedzisa nekudurura mamwe mafuta ekuzodza nawo mumusoro maAroni, akamuzodza kuti amutsvenese.+

13 Mozisi akabva aswededza vanakomana vaAroni pedyo, akavapfekedza nguo refu, akavamonera mabhandi ejira, uye akavamonera machira emumusoro,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

14 Akabva auya nemukono wemombe wechibayiro chechivi, uye Aroni nevanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wemukono wacho wechibayiro chechivi.+ 15 Mozisi akauuraya, akatora ropa racho+ nemunwe wake, akariisa panyanga dzeatari kumativi ese, akanatsa atari pachivi, asi rimwe ropa rese akaridururira muzasi meatari, kuti aitsvenese kuti ayananisire pairi. 16 Akabva atora mafuta ese epaura, neepachiropa, neitsvo mbiri nemafuta ari padziri, uye Mozisi akaita kuti zvipfungaire pamusoro peatari.+ 17 Akabva aita kuti zvese zvakanga zvasara pamukono wacho, dehwe rawo, nyama yawo, nendove yawo, zvipiswe nemoto kunze kwemusasa,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

18 Akauya negondohwe rechibayiro chinopiswa, uye Aroni nevanakomana vake vakabva vaisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 19 Mozisi akabva ariuraya, akasasa ropa racho kumativi ese eatari. 20 Akacheka-cheka gondohwe racho, uye Mozisi akapisa musoro waro, nenyama yaro, nemafuta aro* kuti zvipfungaire. 21 Akasuka ura nemazondo nemvura, uye Mozisi akabva aita kuti gondohwe racho rese ripfungaire paatari. Chakanga chiri chibayiro chinopiswa chinonhuhwirira zvakanaka.* Chakanga chiri chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

22 Akabva auya negondohwe rechipiri, gondohwe rekugadza naro,+ uye Aroni nevanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 23 Mozisi akariuraya, akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yekurudyi nechekuzasi kwayo, nepachigunwe chikuru cheruoko rwake rwerudyi, nepachigunwe chikuru chetsoka yake yekurudyi. 24 Mozisi akauyawo nevanakomana vaAroni pedyo, akaisa rimwe ropa racho pamucheto penzeve dzavo dzekurudyi nechekuzasi kwadzo, nepazvigunwe zvavo zvikuru zvemaoko erudyi, nepazvigunwe zvikuru zvetsoka dzavo dzekurudyi; uye Mozisi akasasa rimwe ropa rese kumativi ese eatari.+

25 Akabva atora mafuta, muswe une mafuta, mafuta ese epaura, neepachiropa, neitsvo mbiri nemafuta adzo, negumbo rerudyi.+ 26 Akatora chingwa chimwe chete cheraundi* chisina mbiriso,+ nechingwa chimwe chete cheraundi* chakakanyiwa nemafuta,+ uye chingwa chimwe chete chitete, zvaiva mutswanda yezvingwa zvisina mbiriso yakanga iri pamberi paJehovha. Akabva azvironga pamusoro pegumbo rerudyi paiva nemafuta acho. 27 Akabva azviisa zvese mumaoko aAroni neevanakomana vake, vakatanga kuzvivheyesa kuti zvive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha. 28 Mozisi akabva azvibvisa mumaoko avo, akaita kuti zvipfungaire paatari pamusoro pechibayiro chinopiswa. Zvaiva chibayiro chekugadza nacho chinonhuhwirira zvakanaka.* Chaiva chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha.

29 Mozisi akabva atora chityu,* akachivheyesa kuti chive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha.+ Chakava mugove waMozisi unobva pagondohwe rekugadza naro, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+

30 Uye Mozisi akatora mamwe mafuta ekuzodza nawo+ nerimwe ropa rakanga riri pamusoro peatari, akazvisasa pana Aroni nenguo dzake nepavanakomana vake nenguo dzevanakomana vake vaaiva navo. Saka akatsvenesa Aroni nenguo dzake nevanakomana vake+ nenguo dzavo.+

31 Mozisi akabva ati kuna Aroni nevanakomana vake: “Bikirai+ nyama yacho pasuo retende rekusanganira, muidyire ipapo nechingwa chiri mutswanda yekugadza nayo, sezvo ndakarayirwa kuti, ‘Aroni nevanakomana vake vachazvidya.’+ 32 Mupise nemoto nyama nechingwa zvinenge zvasara.+ 33 Musabuda kunze kwesuo retende rekusanganira mumazuva manomwe anotevera, kusvikira kugadzwa kwenyu kwapera, nekuti zvichatora mazuva manomwe kuti mugadzwe kuva vapristi.*+ 34 Jehovha akarayira kuti tiite zvataita nhasi kuti muyananisirwe.+ 35 Muchagara pasuo retende rekusanganira masikati neusiku kwemazuva manomwe,+ uye itai zvamakanzi naJehovha munofanira kuita,+ kuti murege kufa; nekuti ndizvo zvandakarayirwa.”

36 Uye Aroni nevanakomana vake vakaita zvese zvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi.

9 Pazuva rechi8,+ Mozisi akashevedza Aroni nevanakomana vake nevakuru vaIsraeri. 2 Akati kuna Aroni: “Tora mhuru yakanaka kuti ive chibayiro chechivi+ uye gondohwe rakanaka kuti rive chibayiro chinopiswa, uuye nazvo pamberi paJehovha. 3 Asi uti kuvaIsraeri, ‘Torai nhongo yakanaka kuti ive chibayiro chechivi uye mhuru yakanaka negondohwe rakanaka, chimwe nechimwe chiine gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa, 4 nemukono wemombe, negondohwe kuti zvive zvibayiro zverugare,+ kuti zvibayirwe pamberi paJehovha, nemupiro wezviyo*+ wakasanganiswa nemafuta, nekuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’”+

5 Saka vakauya nezvavakanzi naMozisi vauye nazvo pamberi petende rekusanganira. Ungano yese yakabva yaswedera pedyo, ikamira pamberi paJehovha. 6 Uye Mozisi akati: “Izvi ndizvo zvamakarayirwa naJehovha kuti muite, kuti Jehovha akuratidzei kubwinya kwake.”+ 7 Mozisi akabva ati kuna Aroni: “Enda paatari upe chibayiro chako chechivi+ nechibayiro chako chinopiswa, uzviyananisire iwe+ neimba yako; upe chibayiro chevanhu,+ uvayananisire,+ sezvakarayirwa naJehovha.”

8 Aroni akabva angoenda paatari, akauraya mhuru yechibayiro chake chechivi.+ 9 Vanakomana vaAroni vakabva vamupa ropa racho,+ iye akanyika munwe wake muropa racho, akariisa panyanga dzeatari, uye akadururira rimwe ropa rese muzasi meatari.+ 10 Akapisa mafuta neitsvo nemafuta epachiropa zvechibayiro chechivi zvikapfungaira paatari, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 11 Uye akapisa nyama yacho nedehwe racho kunze kwemusasa.+

12 Akabva auraya chibayiro chinopiswa, vanakomana vaAroni vakamupa ropa racho, iye akarisasa kumativi ese eatari.+ 13 Vakamupa nyama yakachekwa-chekwa yechibayiro chinopiswa pamwe chete nemusoro wayo, iye akaita kuti zvipfungaire paatari. 14 Akasukawo ura nemazondo, akaita kuti zvipfungaire zviri pamusoro pechibayiro chinopiswa paatari.

15 Akabva atora chibayiro chakanga chauya nevanhu, akatora mbudzi yechibayiro chechivi chevanhu, akaiuraya, akagadzira chibayiro chechivi nayo sezvakaitwa yekutanga. 16 Uye akauya nechibayiro chinopiswa akachipa sezvaigara zvichiitwa.+

17 Akabva auya nemupiro wezviyo,+ akanokora tsama imwe chete, akaita kuti ipfungaire paatari, kuwedzera pachibayiro chinopiswa chemangwanani.+

18 Pashure paizvozvo akauraya mukono wemombe negondohwe zvechibayiro cherugare chevanhu. Vanakomana vaAroni vakabva vamupa ropa racho, iye akarisasa kumativi ese eatari.+ 19 Kana ari mafuta emukono wemombe,+ nemuswe wakakora wegondohwe, nemafuta emudumbu, neitsvo, nemafuta epachiropa,+ 20 vakaaisa ese pamusoro pezvityu,* achibva azoita kuti mafuta acho apfungaire pamusoro peatari.+ 21 Uye Aroni akavheyesa zvityu zvacho nechidya chekurudyi kuti zvive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarayirwa naMozisi.+

22 Aroni akabva asimudza maoko ake akaatambanudzira kuvanhu, akavakomborera,+ uye akabva aburuka apedza kupa chibayiro chechivi, chibayiro chinopiswa uye zvibayiro zverugare. 23 Mozisi naAroni vakazopinda mutende rekusanganira, vakabuda ndokukomborera vanhu.+

Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwaonekwa nevanhu vese,+ 24 uye moto wakabva kuna Jehovha,+ ukapisa chibayiro chinopiswa, nemafuta aiva pamusoro peatari. Vanhu vese pavakazviona, vakatanga kushevedzera, vakapfugama, vakaisa misoro yavo pasi.+

10 Vanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu,+ vakazotora mumwe nemumwe mudziyo wake wekuisira moto, vakaisa moto mumidziyo yacho ndokuisamo rusenzi.+ Vakabva vatanga kuipisira pamberi paJehovha nemoto usingabvumirwi,+ waakanga asina kuvarayira kuti vabatidze. 2 Pavakadaro, moto wakabva kuna Jehovha ndokuvaparadza,+ zvekuti vakafira pamberi paJehovha.+ 3 Mozisi akabva ati kuna Aroni: “Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha, ‘Vanhu vese vari pedyo neni vanofanira kuziva kuti ndiri mutsvene,+ uye ndinofanira kukudzwa pamberi pevanhu vese.’” Uye Aroni akaramba akanyarara.

4 Saka Mozisi akashevedza Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri,+ babamudiki vaAroni, akati kwavari: “Uyai kuno mutakure hama dzenyu dzibve pamberi penzvimbo tsvene mudziendese kunze kwemusasa.” 5 Saka vakauya, vakatakura varume vacho vachakapfeka nguo dzavo refu, vakavaendesa kunze kwemusasa, sezvavakanga vaudzwa naMozisi.

6 Mozisi akabva ati kuna Aroni nevamwe vanakomana vake Eriyezari naItamari: “Musasiya misoro yenyu yakati nyangarara kana kubvarura nguo dzenyu,+ kuti murege kufa uye kuti Mwari arege kutsamwira ungano yese. Hama dzenyu dzeimba yese yaIsraeri ndidzo dzichachema vaya vaurayiwa naJehovha nemoto. 7 Musabuda pasuo retende rekusanganira kuti murege kufa, nekuti mafuta aJehovha ekuzodza nawo ari pamuri.”+ Saka vakaita zvakataurwa naMozisi.

8 Jehovha akabva ati kuna Aroni: 9 “Iwe nevanakomana vako vauinavo hamufaniri kunwa waini kana zvimwe zvinwiwa zvinodhaka, pamunopinda mutende rekusanganira,+ kuti murege kufa. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. 10 Izvi zvichasiyanisa chinhu chitsvene nechisiri chitsvene uye chinhu chisina kuchena nechakachena,+ 11 uye zvichadzidzisa vaIsraeri mirau yese yavakataurirwa naJehovha achishandisa Mozisi.”+

12 Mozisi akabva ataura naAroni nevanakomana vake vakanga vasara, Eriyezari naItamari, achiti: “Torai zvakasara pamupiro wezviyo* wakapisirwa Jehovha nemoto mozvibikisa chingwa chisina mbiriso, mochidyira pedyo neatari,+ nekuti izvo zvinhu zvitsvenetsvene.+ 13 Munofanira kuzvidyira munzvimbo tsvene,+ nekuti ndiwo mugove wenyu nemugove wevanakomana venyu unobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, nekuti ndizvo zvandakarayirwa. 14 Iwe nevanakomana vako nevanasikana vako vauinavo+ munofanirawo kutora chityu* chechibayiro chinovheyeswa nechidya chemugove mutsvene+ mozvidyira panzvimbo yakachena, nekuti zvakapiwa kuti zvive mugove wako nemugove wevanakomana vako unobva pazvibayiro zverugare zvevaIsraeri. 15 Vachauya nechidya chemugove mutsvene nechityu chechibayiro chinovheyeswa pamwe chete nezvibayiro zvemafuta zvinopiswa nemoto, kuti vavheyese zvibayiro zvinovheyeswa pamberi paJehovha; uye izvi zvicharamba zviri mugove wako nevanakomana vako vauinavo,+ sezvakarayirwa naJehovha.”

16 Mozisi akatanga kutsvaga mbudzi yechibayiro chechivi,+ asi akaona kuti yakanga yapiswa. Saka akatsamwira Eriyezari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, uye akati: 17 “Maregererei kudyira chibayiro chechivi munzvimbo tsvene,+ sezvo chiri chinhu chitsvenetsvene chaakakupai kuti mutakure chivi cheungano uye kuti muiyananisire pamberi paJehovha? 18 Zvino chionai! Ropa racho harina kuunzwa mukati menzvimbo tsvene.+ Manga muchifanira kuchidyira munzvimbo tsvene, sezvandakarayirwa.” 19 Aroni akapindura Mozisi kuti: “Zvaitika ndezvekuti, vanhu vapa chibayiro chavo chechivi nechibayiro chavo chinopiswa nhasi pamberi paJehovha.+ Asi zvino ini ndawirwa nedambudziko iri. Dai ndanga ndadya chibayiro chechivi nhasi, Jehovha angadai afara nazvo here?” 20 Mozisi paakanzwa izvozvo, akagutsikana.

11 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni: 2 “Udzai vaIsraeri kuti, ‘Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvepanyika zvamunogona kudya:+ 3 Mhuka yese ine mahwanda* akaparadzana, akavhurika pakati uye inodzeya inogona kudyiwa.

4 “‘Asi hamufaniri kudya mhuka idzi dzinodzeya kana kuti dzine mahwanda akaparadzana: ngamera, nekuti inodzeya asi haina mahwanda akaparadzana. Haina kuchena kwamuri.+ 5 Uyewo mbira,+ nekuti inodzeya asi haina mahwanda akaparadzana. Haina kuchena kwamuri. 6 Uyewo tsuro, nekuti inodzeya asi haina mahwanda akaparadzana. Haina kuchena kwamuri. 7 Uyewo nguruve,+ nekuti ine mahwanda akaparadzana, akavhurika pakati, asi haidzeyi. Haina kuchena kwamuri. 8 Hamufaniri kutombodya chero nyama yazvo kana kuzvibata zvafa. Hazvina kuchena kwamuri.+

9 “‘Izvi ndizvo zvamunogona kudya pazvinhu zvese zviri mumvura: Munogona henyu kudya+ chero chinhu chine zvimbi* nemakwati chinowanikwa mumakungwa kana munzizi. 10 Asi zvinhu zvese zviri mumakungwa nemunzizi zvisina zvimbi nemakwati, zviri pakati pezvisikwa zvese zvinofamba zvakawanda uye pakati pezvimwewo zvisikwa* zvese zvipenyu zviri mumvura, zvinhu zvinosemesa kwamuri. 11 Munofanira kusemeswa nazvo uye hamufaniri kudya chero nyama yazvo+ uye munofanira kuzvisema kana zvafa. 12 Zvinhu zvese zviri mumvura zvisina zvimbi nemakwati zvinhu zvinosemesa kwamuri.

13 “‘Izvi ndizvo zvisikwa zvinobhururuka zvamunofanira kusema; hazvifaniri kudyiwa, nekuti zvinosemesa: gondo,+ hungwe, gora dema,+ 14 ngavi tsvuku uye mamwe marudzi ese engavi nhema, 15 marudzi ese emakunguo, 16 mhou, zizi, shiri yemugungwa, marudzi ese erukodzi, 17 zizi diki, shambira, zizi rine nzeve refu, 18 dhadha remutsipa murefu, dhadha remuromo murefu, gora, 19 shuramurove, marudzi ese eshorechena, mhupupu, nechiremwaremwa. 20 Zvisikwa zvese zvine mapapiro zvinofamba zvakawanda,* zvinofamba nemakumbo ese mana zvinhu zvinosemesa kwamuri.

21 “‘Pazvisikwa zvese zvine mapapiro zvinofamba zvakawanda, zvichifamba nemakumbo ese mana, munogona henyu kudya zviya zvine mamwe makumbo azvinoshandisa pakusvetuka, akareba kupfuura azvinofamba nawo. 22 Munogona henyu kudya izvi: marudzi akasiyana-siyana emhashu dzinotama-tama, dzimwewo mhashu dzinodyiwa,+ makurwe, nehwiza. 23 Zvimwe zvisikwa zvese zvine mapapiro zvinofamba zvakawanda zvine makumbo mana zvinhu zvinosemesa kwamuri. 24 Izvi zvinokusvibisai. Munhu wese anozvibata kana zvafa achange asina kuchena kusvikira manheru.+ 25 Munhu wese anozvitakura kana zvafa anofanira kugeza nguo dzake;+ achange asina kuchena kusvikira manheru.

26 “‘Mhuka dzese dzine mahwanda asina kunyatsoparadzana pakati uye dzisingadzeyi, hadzina kuchena kwamuri. Munhu wese anodzibata achava asina kuchena.+ 27 Zvisikwa zvese zvine tsoka dzine nzara pazvisikwa zvese zvinofamba nemakumbo ese mana, hazvina kuchena kwamuri. Munhu wese anozvibata kana zvafa achava asina kuchena kusvikira manheru. 28 Munhu anozvitakura kana zvafa anofanira kugeza zvipfeko zvake,+ uye achava asina kuchena kusvikira manheru.+ Hazvina kuchena kwamuri.

29 “‘Izvi ndizvo zvisikwa zvisina kuchena kwamuri pazvisikwa zvinokambaira: nhuta, mbeva,+ marudzi ese emadzvinyu, 30 chipfira, gwavava, gwereveshe, chidhambakura, nerwaivhi. 31 Zvisikwa izvi zvinokambaira hazvina kuchena kwamuri.+ Munhu wese anozvibata kana zvafa achava asina kuchena kusvikira manheru.+

32 “‘Chinhu chipi zvacho chinowirwa nazvo pazvinofa chichava chisina kuchena, ungava mudziyo wemuti, kana chipfeko, kana dehwe, kana saga. Mudziyo wese unoshandiswa unofanira kuiswa mumvura, uye uchava usina kuchena kusvikira manheru; wozova wakachena. 33 Kana zvikawira mumudziyo wevhu, munofanira kuupwanya, uye zvese zvanga zvirimo zvichava zvisina kuchena.+ 34 Zvekudya zvese zvinoendwa nemvura inobva mumudziyo iwoyo zvichava zvisina kuchena, uye chinwiwa chese chinenge chiri mumudziyo iwoyo chichava chisina kuchena. 35 Chese chinowirwa nechimwe chezvinhu izvi kana zvafa chichava chisina kuchena. Chingava choto kana chigadziko chehari, chinofanira kupwanywa. Izvo hazvina kuchena, uye zvicharamba zvisina kuchena kwamuri. 36 Chitubu netsime remvura ndizvo chete zvicharamba zvakachena, asi munhu anobata zvisikwa izvi kana zvafa achava asina kuchena. 37 Kana chimwe chazvo chakafa chikawira pambeu yekudyara, mbeu yacho ichange yakachena. 38 Asi kana mvura ikaiswa pambeu uye chimwe chezvisikwa izvi chakafa chikawira pairi choigunzva, mbeu yacho haina kuchena kwamuri.

39 “‘Kana mhuka inodyiwa ikafa, munhu wese anoibata achava asina kuchena kusvikira manheru.+ 40 Munhu wese anodya nyama yacho anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.+ Munhu wese anoitakura yakafa anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 41 Zvisikwa zvese zvepanyika zvinonanaira zvinosemesa.+ Hazvifaniri kudyiwa. 42 Hamufaniri kudya chisikwa chinofamba nedumbu, chisikwa chese chinokambaira nemakumbo ese mana, kana tupukanana tunofamba nemakumbo akawanda, nekuti zvinosemesa.+ 43 Musaita kuti zvisikwa zvinofamba zvakawanda zvikuitei vanhu vanosemesa, uye musasvibiswa nazvo moitwa vasina kuchena.+ 44 Nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu,+ uye munofanira kuzvitsaura mova vatsvene,+ nekuti ini ndiri mutsvene.+ Saka hamufaniri kuzvisvibisa nezvisikwa chero zvipi zvazvo zvinofamba panyika zvakawanda. 45 Nekuti ndini Jehovha akakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu,+ munofanira kuva vatsvene,+ nekuti ini ndiri mutsvene.+

46 “‘Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemhuka, zvisikwa zvinobhururuka, zvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba mumvura, uye zvisikwa zvese zvinonanaira panyika, 47 kuti pave nemusiyano pakati pezvisina kuchena nezvakachena, uye zvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezviya zvisingafaniri kudyiwa.’”+

12 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: 2 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Kana mukadzi akabata pamuviri, osununguka mwana mukomana, achava asina kuchena kwemazuva manomwe, sekusachena kwaanenge akaita paanenge ari kumwedzi.+ 3 Pazuva rechi8, mwanakomana wacho achachecheudzwa+ chikanda chake chepamberi. 4 Mukadzi wacho acharamba achizvichenesa paropa kwemamwe mazuva 33 anotevera. Haafaniri kubata chinhu chitsvene chero chipi zvacho, uye haafaniri kupinda munzvimbo tsvene kusvikira mazuva aanenge achizvinatsa apera.

5 “‘Kana akasununguka mwana musikana, achava asina kuchena kwemazuva 14, sekusachena kwaanoita ari kumwedzi. Acharamba achizvichenesa paropa kwemazuva 66 anotevera. 6 Kana mazuva ekunatswa kwake asununguka mwanakomana kana kuti mwanasikana apera, achauya kusuo retende rekusanganira, kumupristi aine gondohwe risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chinopiswa,+ nehangaiwa diki kana njiva kuti ive chibayiro chechivi. 7 Mupristi achauya nacho pamberi paJehovha omuyananisira, uye achava akachena pakuyerera kweropa rake. Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemukadzi anosununguka mwana mukomana kana musikana. 8 Asi kana asingagoni kuwana gwai, ngaatore njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri,+ imwe kuti ive chibayiro chinopiswa uye imwe yacho kuti ive chibayiro chechivi, uye mupristi achamuyananisira, uye achava akachena.’”

13 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi naAroni achiti: 2 “Kana munhu aine pakazvimba paganda rake,* kana mhezi kana kuti pane chidzvanga, chichiita sechirwere chemaperembudzi*+ paganda rake, anofanira kuunzwa kumupristi Aroni kana kuti kune mumwe wevanakomana vake, vapristi.+ 3 Mupristi achaongorora chirwere chiri paganda rake. Kana mvere dzepaganda pacho dzava chena uye chirwere chacho chichiratidza kuti chakadzika muganda, anenge ari maperembudzi. Mupristi achachiongorora, uye achamuti haana kuchena. 4 Asi kana chidzvanga chacho chiri chichena paganda rake uye chichioneka kuti hachina kudzika muganda uye mvere dzacho dzisina kuchinja kuva chena, mupristi achabva aisa munhu wacho kwake ega kwemazuva manomwe.+ 5 Mupristi achazomuongorora pazuva rechinomwe, uye kana akaona kuti chidzvanga chacho hachina kukura uye hachina kupararira neganda, mupristi achamuisa kwake ega kwemamwe mazuva manomwe.

6 “Mupristi anofanira kumuongorora zvakare pazuva rechinomwe, uye kana pasisaoneki, uye pasina kupararira neganda, mupristi achamuti akachena;+ yaingova mhezi. Munhu wacho anofanira kugeza zvipfeko zvake, ova akachena. 7 Asi kana mhezi yacho ikakura iye atobva pamberi pemupristi kuti aonekwe kana akachena, anofanira kubva azviratidza zvakare pamberi pemupristi. 8 Mupristi anofanira kuiongorora, uye kana mhezi yacho yakakura ichipararira neganda, mupristi achabva amuti haana kuchena. Iwo maperembudzi.+

9 “Kana chirwere chemaperembudzi chikabuda pamunhu, anofanira kubva aunzwa kumupristi, 10 uye mupristi achamuongorora.+ Kana paganda pacho pazvimba uye pachena uye mvere dzachena, pakazvimba pacho paine ronda rakavhurika,+ 11 iwo maperembudzi asingaperi ari paganda rake, uye mupristi achamuti haana kuchena. Haafaniri kumuisa kwake ega+ kuti azomuongorora zvakare, nekuti haana kuchena. 12 Kana maperembudzi akabuda paganda rese, akazara muviri wemunhu wacho wese kubvira kumusoro kusvikira kutsoka, semaonero anenge achiita mupristi, 13 uye mupristi amuongorora akaona kuti maperembudzi azara muviri wese, achabva amuti akachena.* Ese zvawo achinja kuva machena, uye iye akachena. 14 Asi pakangooneka ronda rakavhurika paari, iye achava asina kuchena. 15 Mupristi paanoona ronda racho rakavhurika, achabva amuti haana kuchena.+ Ronda racho harina kuchena. Iwo maperembudzi.+ 16 Asi kana ronda racho rikava jena zvakare, achabva auya kumupristi. 17 Mupristi achamuongorora,+ uye kana ronda racho rachena, mupristi wacho achamuti akachena. Iye akachena.

18 “Kana munhu akabuda mota paganda rake, ropora, 19 asi paya paiva nemota pakaita bundu rakachena kana kuti chidzvanga chitsvuku chakachenuruka, anofanira kubva azviratidza kumupristi. 20 Mupristi achariongorora,+ uye kana richioneka kuti rakadzika muganda uye kuti mvere dziripo dzachena, mupristi achabva amuti haana kuchena. Icho chirwere chemaperembudzi chakabuda nemumota. 21 Asi kana mupristi akariongorora, oona kuti mukati maro hamuna mvere chena, uye kuti harina kudzika muganda uye kuti harichanyatsooneki, mupristi achabva amuisa kwake ega kwemazuva manomwe.+ 22 Uye kana ranyatsopararira neganda, mupristi achabva amuti haana kuchena. Icho chirwere. 23 Asi kana chidzvanga chacho chikaramba chiri panzvimbo imwe chete chisina kupararira, zvinoreva kuti mota racho rangozvimba, uye mupristi achamuti akachena.+

24 “Kana mumwe munhu aine vanga rakakonzerwa nemoto uye nyama yepavanga pacho ikava dzvanga dzvuku rakachenuruka kana kuti dzvanga jena, 25 mupristi achariongorora. Kana mvere dziri padzvanga racho dzachena uye pachioneka kuti pakadzika muganda, iwo maperembudzi abuda nemuvanga racho, uye mupristi achamuti haana kuchena. Icho chirwere chemaperembudzi. 26 Asi kana mupristi akapaongorora, oona kuti hapana mvere chena pachidzvanga chacho uye kuti hachina kudzika muganda uye kuti hachichanyatsooneki, achabva amuisa kwake ega kwemazuva manomwe.+ 27 Mupristi achamuongorora pazuva rechinomwe uye kana chanyatsopararira neganda, mupristi achamuti haana kuchena. Icho chirwere chemaperembudzi. 28 Asi kana chidzvanga chacho chikaramba chiri panzvimbo imwe chete, chisina kupararira neganda uye chisinganyatsooneki, zvinoreva kuti vanga racho rangozvimba chete, uye mupristi achamuti akachena, nekuti kuzvimba kwevanga racho.

29 “Kana murume kana kuti mukadzi akaita ronda mumusoro kana kuti pachirebvu, 30 mupristi achabva aongorora ronda racho.+ Kana akaona richiita serakadzika uye bvudzi rake rakachenuruka uye riri shoma, mupristi achabva amuti haana kuchena; icho chirwere chemumusoro kana kuti chepandebvu. Iwo maperembudzi emumusoro kana kuti epachirebvu. 31 Asi kana mupristi akaona kuti ronda racho rinoita sekuti harina kudzika uye kuti harina bvudzi dema mukati maro, mupristi anofanira kubva aisa murwere wacho kwake ega kwemazuva manomwe.+ 32 Mupristi achamuongorora pazuva rechinomwe, uye kana ronda racho risina kupararira uye bvudzi racho risina kuchenuruka mukati maro uye ronda racho richiratidza kuti harina kudzika, 33 munhu wacho anofanira kuveurwa, asi pane ronda hapafaniri kuveurwa. Mupristi achabva aisa murwere wacho kwake ega kwemazuva manomwe.

34 “Mupristi achapaongorora zvakare pazuva rechinomwe, uye kana ronda riri mumusoro make uye pachirebvu risina kupararira neganda uye risingaratidzike serakadzika, mupristi anofanira kubva amuti akachena, uye munhu wacho anofanira kugeza zvipfeko zvake, ova akachena. 35 Asi kana ronda racho rikapararira neganda iye ambonzi akachena, 36 mupristi achamuongorora, uye kana zvapararira neganda, mupristi haafaniri kutsvaga kana aine bvudzi rakachenuruka; munhu iyeye haana kuchena. 37 Asi kana aongororwa akaonekwa kuti chironda hachina kupararira uye bvudzi dema rakabuda ipapo, zvinoreva kuti apora. Iye akachena, uye mupristi anofanira kumuti akachena.+

38 “Kana murume kana kuti mukadzi akaita zvimadzvanga paganda rake* uye zvimadzvanga zvacho zviri zvichena, 39 mupristi achazviongorora.+ Kana zvimadzvanga zvacho zviri zvichena asi zvisingachanyatsooneki, tumapundu twangobuda paganda rake. Munhu iyeye akachena.

40 “Kana murume akapera bvudzi mumusoro ova nemhanza, iye akachena. 41 Kana akapera bvudzi mumusoro make nechepamberi ova nemhanza, iye akachena. 42 Asi kana akatanga kubuda bundu dzvuku rakachenuruka pamhanza yake kana pahuma yake, maperembudzi ari kubuda pamhanza yake kana kuti pahuma yake. 43 Mupristi achamuongorora, uye kana bundu racho riri pamhanza kana pahuma riri dzvuku rakachenuruka, uye richiita kunge maperembudzi ari paganda rake, 44 iye ane maperembudzi. Haana kuchena, uye mupristi anofanira kumuti haana kuchena nemhaka yechirwere chiri mumusoro wake. 45 Kana ari munhu ane maperembudzi, zvipfeko zvake zvinofanira kubvarurwa, musoro wake unofanira kuregwa wakati nyangarara uye anofanira kufukidza ndebvu dzake dzepamusoro pemuromo, oshevedzera kuti, ‘Handina kuchena, handina kuchena!’ 46 Achava asina kuchena mazuva ese aanenge aine chirwere chacho. Sezvo asina kuchena, anofanira kugara kwake ega. Achagara kunze kwemusasa.+

47 “Kana maperembudzi akaenda pachipfeko, chingava chemvere dzemakwai kana chejira, 48 pangava pashinda dzejira rakarukwa kana dzemvere dzemakwai, kana kuti padehwe kana pazvese zvinogadzirwa nematehwe, 49 uye pakava neruvara rwegirini yakachenuruka kana rutsvuku pachipfeko, padehwe, pashinda dzejira rakarukwa, kana kuti chero pachinhu chakagadzirwa nematehwe, ichocho chirwere chemaperembudzi, uye chinhu chacho chinofanira kuratidzwa mupristi. 50 Mupristi achaongorora chirwere chacho, uye achaisa chinhu chacho chine chirwere kwacho chega kwemazuva manomwe.+ 51 Kana akaongorora chirwere chacho pazuva rechinomwe, oona kuti chirwere chacho chapararira nechipfeko chacho, neshinda dzejira rakarukwa kana kuti nedehwe (pasinei nekuti dehwe racho rinoshandiswei), anenge ari maperembudzi anotapukira, uye hachina kuchena.+ 52 Anofanira kupisa chipfeko chacho kana kuti shinda dzejira rakarukwa, kana kuti chero chinhu chakagadzirwa nedehwe chine chirwere chacho, nekuti iwo maperembudzi anotapukira. Chinhu chacho chinofanira kupiswa nemoto.

53 “Asi kana mupristi akachiongorora, oona kuti chirwere chacho hachina kupararira nechipfeko chacho kana kuti neshinda dzejira rakarukwa kana kuti nechero chinhu chakagadzirwa nedehwe, 54 mupristi acharayira kuti vageze chinhu chacho chine chirwere, uye achachiisa kwacho chega kwemamwe mazuva manomwe. 55 Mupristi achabva achiongorora kana chanyatsogezwa. Kana panga paine ruvara pacho pasina kuchinja, kunyange pasina kupararira, icho hachina kuchena. Munofanira kuchipisa nemoto nekuti chinhu chacho chinenge chadyika nemukati kana kuti nekunze.

56 “Asi kana mupristi akachiongorora, oona kuti paya panga paine ruvara hapachanyatsooneki pashure pekunge chagezwa, achabva apacheka opabvisa pachipfeko chacho kana kuti padehwe kana kuti pashinda dzejira rakarukwa. 57 Asi kana ruvara rwacho rukaoneka pane imwe nzvimbo pachipfeko chacho kana kuti pashinda dzejira rakarukwa kana pachinhu chero chakagadzirwa nedehwe, chirwere chacho chinenge chichipararira, uye unofanira kupisa nemoto chero chinhu chine chirwere chacho.+ 58 Asi kana ruvara rwacho rukabva zvachose pachipfeko chacho kana kuti shinda dzejira rakarukwa kana kuti chero chinhu chakagadzirwa nedehwe chaunenge wageza, chinofanira kugezwa kechipiri, uye chichava chakachena.

59 “Uyu ndiwo mutemo wechirwere chemaperembudzi chinenge chiri pachipfeko chemvere dzemakwai kana kuti chejira, kana kuti pashinda dzejira rakarukwa, kana kuti pachinhu chero chakagadzirwa nedehwe, kuti chinzi chakachena kana kuti hachina kuchena.”

14 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Uyu ndiwo unofanira kuva mutemo wemunhu ane maperembudzi pazuva raachanzi akachena, paanofanira kuunzwa kumupristi.+ 3 Mupristi achaenda kunze kwemusasa omuongorora. Kana munhu wacho anga aine maperembudzi apora, 4 mupristi achamuti auye neshiri mbiri mhenyu dzakachena, kabazi kemusidhari, shinda tsvuku, nehisopi zvekuti acheneswe nazvo.+ 5 Mupristi achati imwe shiri iurayirwe mumudziyo wevhu une mvura yakachena. 6 Asi anofanira kutora shiri iya mhenyu pamwe chete nekabazi kemusidhari, neshinda tsvuku, nehisopi, ozvinyika pamwe chete muropa reshiri iya inenge yaurayirwa mumvura yakachena. 7 Achabva arisasa kanomwe pamunhu wacho ari kuzvichenesa pamaperembudzi omuzivisa kuti akachena, uye acharega shiri yacho mhenyu ichienda nesango.+

8 “Munhu wacho ari kuzvichenesa anofanira kugeza zvipfeko zvake, oveura bvudzi rake rese, ogeza nemvura, uye achava akachena. Kana adaro anogona kudzoka zvake mumusasa, asi achagara kunze kwetende rake kwemazuva manomwe. 9 Pazuva rechinomwe anofanira kuveura bvudzi rake rese remumusoro nendebvu netsiye. Kana aveura bvudzi rake rese, achageza zvipfeko zvake, ogeza muviri, uye achava akachena.

10 “Pazuva rechi8, ngaatore makwayana makono maviri akanaka, negwayana gadzi rimwe chete rakanaka,+ risati rapfuura gore rimwe chete, nezvegumi zvitatu zveefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti zvive mupiro wezviyo,+ nechiyero cherogi* imwe chete chemafuta;+ 11 uye mupristi anomuti akachena anofanira kuuya nemunhu wacho ari kuzvichenesa, nemipiro yacho, pamberi paJehovha pasuo retende rekusanganira. 12 Mupristi anofanira kutora mumwe mukono wegwayana oubayira kuti uve chibayiro chemhosva+ pamwe chete nechiyero cherogi chemafuta, uye achazvivheyesa semupiro unovheyeswa pamberi paJehovha.+ 13 Achabva aurayira mukono wegwayana panzvimbo inowanzourayirwa chibayiro chechivi nechibayiro chinopiswa,+ munzvimbo tsvene, nekuti chibayiro chemhosva ndechemupristi,+ sezvakangoita chibayiro chechivi. Icho chinhu chitsvenetsvene.+

14 “Mupristi achabva atora rimwe ropa rechibayiro chemhosva, uye mupristi wacho anofanira kuriisa panzeve yemunhu ari kuzvichenesa yekurudyi nechekuzasi kwayo nepachigunwe chikuru cheruoko rwerudyi nepachigunwe chikuru chetsoka yake yekurudyi. 15 Uye mupristi achatora mamwe mafuta ari muchiyero cherogi+ oadururira muruoko rwake rweruboshwe. 16 Mupristi achabva anyika chigunwe chake chekurudyi mumafuta ari muruoko rwake rweruboshwe, osasa mamwe emafuta acho nemunwe wake kanomwe pamberi paJehovha. 17 Mupristi anozoisa mamwe mafuta anenge asara muruoko rwake panzeve yemunhu ari kuzvichenesa yekurudyi nechekuzasi kwayo, nepachigunwe chikuru cheruoko rwake rwerudyi nepachigunwe chikuru chetsoka yake yekurudyi, pamusoro peropa rechibayiro chemhosva. 18 Mupristi achaisa mafuta anenge asara muruoko rwake mumusoro memunhu ari kuzvichenesa, uye mupristi achamuyananisira pamberi paJehovha.+

19 “Mupristi achabayira chibayiro chechivi,+ oyananisira munhu ari kuzvichenesa pakusachena kwake, kana apedza achauraya chibayiro chinopiswa. 20 Uye mupristi achapisira chibayiro chinopiswa nemupiro wezviyo+ pamusoro peatari, uye mupristi achamuyananisira,+ ova akachena.+

21 “Asi kana ari murombo, asina zvinhu zvinokwana, achatora mukono wegwayana mumwe chete kuti uve chibayiro chemhosva chinovheyeswa, kuti azviyananisire, uye chegumi chimwe cheefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti uve mupiro wezviyo pamwe chete nechiyero cherogi yemafuta, 22 nenjiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri, zvichienderana nekuti anowanawo sei. Imwe yacho ichava yechibayiro chechivi uye imwe yacho ichava yechibayiro chinopiswa.+ 23 Achauya nazvo pazuva rechi8+ kumupristi pasuo retende rekusanganira pamberi paJehovha kuti anzi akachena.+

24 “Mupristi achatora mukono wegwayana rechibayiro chemhosva+ nechiyero cherogi chemafuta, uye mupristi achazvivheyesa kuti zvive mupiro unovheyeswa pamberi paJehovha.+ 25 Achabva auraya mukono wegwayana wechibayiro chemhosva, uye mupristi achatora rimwe ropa rechibayiro chemhosva, oriisa panzeve yekurudyi yemunhu ari kuzvichenesa nechepazasi payo nepachigunwe chikuru cheruoko rwake rwerudyi nepachigunwe chikuru chetsoka yake yekurudyi.+ 26 Mupristi achatora mamwe mafuta oadururira muruoko rwake rweruboshwe,+ 27 obva asasa nechigunwe chake chekurudyi mafuta ari muruoko rwake rweruboshwe kanomwe pamberi paJehovha. 28 Uye mupristi achaisa mamwe mafuta ari muruoko rwake panzeve yemunhu ari kuzvichenesa yekurudyi nechekuzasi kwayo, nepachigunwe chikuru cheruoko rwake rwerudyi nepachigunwe chikuru chetsoka yake yekurudyi, munzvimbo dzimwe chetedzo dzaanenge aisa ropa rechibayiro chemhosva. 29 Mupristi achabva aisa mafuta anenge asara muruoko rwake mumusoro memunhu ari kuzvichenesa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.

30 “Achapa imwe yenjiva kana kuti yehangaiwa diki, zvichienderana neyaanowana,+ 31 yaanokwanisa, kuti ive chibayiro chechivi uye imwe yacho ive chibayiro chinopiswa+ pamwe chete nemupiro wezviyo; uye mupristi achayananisira munhu ari kuzvichenesa pamberi paJehovha.+

32 “Uyu ndiwo mutemo wemunhu anga aine chirwere chemaperembudzi asi asingagoni kuwana zvinhu zvinodiwa kuti azonzi akachena.”

33 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni: 34 “Kana masvika kunyika yeKenani,+ yandiri kukupai kuti ive nhaka yenyu,+ uye ndikaisa chirwere chemaperembudzi+ mune imwe imba munyika menyu, 35 muridzi wemba yacho anofanira kubva auya oudza mupristi kuti, ‘Pane zvandaona mumba mangu zvinoita sechirwere chemaperembudzi.’ 36 Mupristi achamuudza kuti afanobvisa zvinhu zvese zviri mumba macho asati auya kuzoongorora, nekuti akasadaro zvinhu zvese zvirimo zvichanzi nemupristi hazvina kuchena; kana adaro mupristi achauya kuzoongorora imba yacho. 37 Achaongorora panenge paine chirwere chacho, uye kana madziro emba yacho aine dzimwe nzvimbo dzakapinda mukati dzine ruvara rwegirini yakachenuruka, kana kuti dzakatsvukuruka uye dzichiratidza kuti dzakadzika, 38 mupristi achabva abuda onomira pasuo reimba yacho, uye achati imba yacho isapindwa kwemazuva manomwe.+

39 “Mupristi wacho anofanira kuzodzoka pazuva rechinomwe oongorora imba yacho. Kana chirwere chacho chapararira nemadziro emba, 40 mupristi achaita kuti matombo abatira chirwere chacho abviswe okandwa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena. 41 Achabva aita kuti mukati memba yacho muparwe zvakasimba, uye dhaka rinenge rabviswa rinofanira kurasirwa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena. 42 Vanofanira kubva vaisa mamwe matombo munzvimbo dzavabvisa matombo, uye imba yacho inofanira kudzururwa nerimwe dhaka.

43 “Asi kana chirwere chacho chikadzoka, chopararira mumba macho pashure pekubvisa matombo nekuipara nekuidzurura, 44 mupristi achapinda oiongorora. Kana chirwere chacho chapararira nemba yacho, iwo maperembudzi anotapukira+ ari mumba macho. Imba yacho haina kuchena. 45 Anofanira kubva aita kuti imba yacho iputswe uye matombo ayo, matanda ayo, nedhaka rayo rese zvinofanira kutakurwa zvoendeswa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.+ 46 Asi munhu wese anopinda mumba macho mazuva amunenge makanzi musapindwa+ achava asina kuchena kusvikira manheru;+ 47 uye munhu wese anorara mumba macho anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye munhu wese anodyira mumba macho anofanira kugeza zvipfeko zvake.

48 “Asi kana mupristi akauya oona kuti chirwere chacho hachina kupararira nemba pashure pekudzururwa kwayakaitwa, mupristi achabva ati imba yacho yakachena, nekuti chirwere chacho chakapera. 49 Kuti achenese imba yacho pakusachena kwayo,* achatora shiri mbiri, kabazi kemusidhari, shinda tsvuku, nehisopi.+ 50 Anofanira kuurayira shiri imwe mumudziyo wevhu une mvura yakachena. 51 Achabva atora kabazi kemusidhari, hisopi, shinda tsvuku, neshiri iya mhenyu ozvinyika pamwe chete muropa reshiri iya inenge yaurayirwa mumvura yakachena, uye anofanira kurisasa paimba yacho kanomwe.+ 52 Uye achachenesa imba yacho pakusachena kwayo* achishandisa ropa reshiri, mvura yakachena, shiri mhenyu, katanda kemusidhari, hisopi, neshinda tsvuku. 53 Acharega shiri yacho mhenyu ichienda nesango kunze kweguta, oyananisira imba yacho, uye ichava yakachena.

54 “Uyu ndiwo mutemo wenyaya dzese dzine chekuita nemaperembudzi emumusoro kana kuti epandebvu,+ 55 maperembudzi epazvipfeko+ kana kuti emumba,+ 56 uye dzine chekuita nekuzvimba, mhezi, nezvidzvanga,+ 57 unobatsira kuziva kana chinhu chisina kuchena kana kuti chakachena.+ Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemaperembudzi.”+

15 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi naAroni, achiti: 2 “Taurai nevaIsraeri, muvaudze kuti, ‘Kana murume aine zvinoyerera zvinobuda munhengo yake yekubereka nayo, zvinoyerera izvozvo zvinomuita kuti ave asina kuchena.+ 3 Haana kuchena nemhaka yezvinoyerera izvi, zvingava zviri kutoyerera zvichibuda kana kuti zvakavhara nhengo yake, anenge asina kuchena chete.

4 “‘Mubhedha wese unorarwa nemunhu ane zvinoyerera uchava usina kuchena, uye chinhu chese chaanogara pachiri chichava chisina kuchena. 5 Munhu anobata mubhedha wake anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye anofanira kugeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.+ 6 Munhu wese anogara pachinhu chakagarwa nemunhu ane zvinoyerera anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 7 Munhu wese anobata muviri wemunhu ane zvinoyerera anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 8 Kana munhu ane zvinoyerera akasvipira mate mumwe munhu akachena, munhu iyeye anofanira kugeza nguo dzake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 9 Chigaro chese chinoshandiswa pakutasva mhuka chinenge chagarirwa nemunhu ane zvinoyerera chichava chisina kuchena. 10 Munhu wese anobata chero chinhu changa chiri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru, uye munhu wese anotakura zvinhu izvozvo anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 11 Kana munhu ane zvinoyerera+ asina kugeza maoko ake nemvura, obata mumwe munhu, munhu iyeye abatwa anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 12 Mudziyo wevhu unobatwa nemunhu ane zvinoyerera unofanira kuputswa, asi mudziyo wese wakagadzirwa nemuti unofanira kusukwa nemvura.+

13 “‘Kana zvinoyerera zvamira kubuda uye munhu wacho apora, anofanira kubva averenga mazuva manomwe ekuti anatswe, uye anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri wake nemvura yakachena, uye achava akachena.+ 14 Pazuva rechi8, anofanira kutora njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri,+ ouya pamberi paJehovha pasuo retende rekusanganira ozvipa mupristi. 15 Uye mupristi achadzibayira, imwe ichava yechibayiro chechivi uye imwe yacho ichava yechibayiro chinopiswa, uye mupristi achamuyananisira pamberi paJehovha pakubuda kwaakaita zvinoyerera.

16 “‘Kana murume akabuda urume, anofanira kugeza muviri wake wese nemvura, ova asina kuchena kusvikira manheru.+ 17 Anofanira kugeza nemvura chipfeko chese uye dehwe rese rinenge raendwa neurume, uye zvichava zvisina kuchena kusvikira manheru.

18 “‘Kana murume akarara nemukadzi obudisa urume, vese vanofanira kugeza nemvura uye vachange vasina kuchena kusvikira manheru.+

19 “‘Kana mukadzi achibuda ropa mumuviri wake, acharamba asina kuchena paanenge ari kumwedzi kwemazuva manomwe.+ Munhu wese anomubata achava asina kuchena kusvikira manheru.+ 20 Chese chaacharara pachiri pakusachena kwake ari kumwedzi chichava chisina kuchena, uye chese chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.+ 21 Munhu wese anobata mubhedha wake anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 22 Munhu wese anobata chero chinhu chaanogara pachiri anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 23 Kana akagara pamubhedha kana kuti pane chimwe chinhu, munhu anochibata achava asina kuchena kusvikira manheru.+ 24 Uye kana murume akarara naye, kusachena kwake kunokonzerwa nekuva kumwedzi kukava pamurume wacho,+ murume iyeye achava asina kuchena kwemazuva manomwe, uye mubhedha wese waanorara pauri uchava usina kuchena.

25 “‘Kana mukadzi akabuda ropa kwemazuva akawanda+ isiri nguva yake yekuva kumwedzi,+ kana kuti akabuda ropa kwenguva yakareba kupfuura yaanenge ari kumwedzi, achange asina kuchena mazuva ese aanenge achibuda ropa, sezvaanoita paanenge ari kumwedzi. 26 Mubhedha wese waanorara pauri mazuva ese aanenge achibuda ropa uchava semubhedha waanorara asina kuchena paanenge ari kumwedzi,+ uye chinhu chese chaanogara pachiri chichava chisina kuchena sekusachena kwake ari kumwedzi. 27 Munhu wese anozvibata achava asina kuchena, uye anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.+

28 “‘Asi kana ropa racho ramira kubuda, anofanira kuverenga mazuva manomwe, uye kana mazuva acho apera achava akachena.+ 29 Pazuva rechi8, anofanira kutora njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri,+ ouya nadzo kumupristi pasuo retende rekusanganira.+ 30 Mupristi achaita kuti imwe ive yechibayiro chechivi uye imwe yacho ive yechibayiro chinopiswa, uye mupristi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake paanga achibuda ropa.+

31 “‘Saka munofanira kuita kuti vaIsraeri vaparadzane nekusachena kwavo, kuti varege kufira mukusachena kwavo vachisvibisa tebhenekeri yangu, iri pakati pavo.+

32 “‘Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemurume anenge aine zvinoyerera, murume anenge asina kuchena nekuti akabudisa urume,+ 33 mukadzi anenge asina kuchena paanenge ari kumwedzi,+ murume wese kana kuti mukadzi wese ane zvinoyerera zvinenge zvichibuda mumuviri,+ uye murume anorara nemukadzi asina kuchena.’”

16 Jehovha akataura naMozisi pashure pekufa kwevanakomana vaviri vaAroni avo vakafa nekuti vakanga vaswedera kuna Jehovha.+ 2 Jehovha akati kuna Mozisi: “Udza Aroni mukoma wako kuti haafaniri kupinda chero paadira munzvimbo tsvene+ mukati meketeni,+ pamberi pechekukwidibirisa chiri paAreka, kuti arege kufa,+ nekuti ndichazviratidza pamusoro pechekukwidibirisa+ ndiri mugore.+

3 “Izvi ndizvo zvinofanira kuuya naAroni paanopinda munzvimbo tsvene: mukono wemombe mudiki wechibayiro chechivi+ negondohwe rechibayiro chinopiswa.+ 4 Anofanira kupfeka nguo refu tsvene yejira,+ uye chikabudura* chejira+ chinofanira kuvhara muviri wake,* uye anofanira kusunga bhandi rejira,+ opfeka ngowani yejira.+ Izvo zvipfeko zvitsvene.+ Anofanira kugeza muviri wake nemvura+ ozvipfeka.

5 “Anofanira kutora kuungano yevaIsraeri+ mbudzana hono mbiri kuti dzive chibayiro chechivi negondohwe rimwe kuti rive chibayiro chinopiswa.

6 “Aroni anofanira kubva auya nemukono wake wemombe wechibayiro chechivi, uye achazviyananisira iye+ neimba yake.

7 “Achabva atora mbudzi mbiri, odzimisa pamberi paJehovha pasuo retende rekusanganira. 8 Aroni achakanda mijenya pamusoro pembudzi dzacho mbiri, mumwe mujenya uri waJehovha uye mumwe mujenya uri weAzazeri.* 9 Aroni achauya nembudzi inenge yabatwa nemujenya+ waJehovha, oipa kuti ive chibayiro chechivi. 10 Asi mbudzi inenge yabatwa nemujenya weAzazeri inofanira kumiswa pamberi paJehovha iri mhenyu kuti ayananisire pamusoro payo, yonosiyiwa kurenje+ iri yeAzazeri.

11 “Aroni anofanira kubva auya nemukono wake wemombe wechibayiro chechivi, uye achazviyananisira iye neimba yake; kana adaro achauraya mukono wake wechibayiro chechivi.+

12 “Achabva atora paatari iri pamberi paJehovha mazimbe oazadza mumudziyo wekuisira moto,+ onokora kaviri rusenzi yakatsetseka inonhuhwirira,+ uye achauya nazvo mukati meketeni.+ 13 Achaisawo rusenzi yacho pamoto uri pamberi paJehovha,+ uye utsi hwerusenzi huchapfungaira huchivhara chekukwidibirisa cheAreka,+ chiri pamusoro peChipupuriro,+ kuti iye arege kufa.

14 “Achatora rimwe ropa remukono wacho+ orisasa nemunwe wake pedyo nechekukwidibirisa kurutivi rwekumabvazuva, osasa rimwe ropa nemunwe wake kanomwe pamberi pechekukwidibirisa.+

15 “Achabva auraya mbudzi yechibayiro chevanhu chechivi,+ ouya neropa rayo mukati meketeni,+ oita neropa rayo+ zvaanenge aita neropa remukono wemombe; anofanira kurisasa pedyo nechekukwidibirisa uye pamberi pechekukwidibirisa.

16 “Anofanira kuyananisira nzvimbo tsvene pamabasa evaIsraeri ekusachena uye pakutadza kwavo nepazvivi zvavo,+ uye izvozvo ndizvo zvaanofanira kuitira tende rekusanganira, iro riri kugara pakati pavo vachiita mabasa avo ekusachena.

17 “Hapana mumwe munhu anofanira kunge ari mutende rekusanganira kubvira paanopinda kuti ayananisire ari munzvimbo tsvene kusvikira abuda. Achazviyananisira iye pamwe neimba yake+ neungano yese yaIsraeri.+

18 “Achabva abuda oenda paatari+ iri pamberi paJehovha, oiyananisira, uye achabva atora rimwe ropa remukono wemombe nerimwe ropa rembudzi, oriisa panyanga dzeatari kumativi ese. 19 Achasasawo nemunwe wake rimwe ropa pamusoro payo kanomwe oichenesa pamabasa ekusachena evaIsraeri, kuti ive tsvene.

20 “Kana apedza kuyananisira+ nzvimbo tsvene netende rekusanganira neatari,+ achauyawo nembudzi mhenyu.+ 21 Aroni achaisa maoko ake ese pamusoro wembudzi yacho mhenyu, oreurura pamusoro payo kukanganisa kwese kwevaIsraeri nekutadza kwavo kwese nezvivi zvavo zvese, uye achazviisa pamusoro wembudzi yacho,+ oita kuti iendwe nayo kurenje nemunhu akasarudzwa onoisiya ikoko. 22 Mbudzi yacho ichatakura kukanganisa kwavo kwese+ ichienda kugwenga,+ uye iye achaisiya kurenje.+

23 “Aroni achabva apinda mutende rekusanganira, obvisa nguo dzaanga akapfeka paapinda munzvimbo tsvene, odziisa pasi imomo. 24 Anofanira kugeza muviri wake nemvura+ munzvimbo tsvene, opfeka nguo dzake;+ achabva abuda opa chibayiro chake chinopiswa+ nechibayiro chinopiswa chevanhu,+ ozviyananisira iye nevanhu vacho.+ 25 Achaita kuti mafuta echibayiro chechivi apfungaire paatari.

26 “Munhu uya anenge anosiya mbudzi yeAzazeri+ kurenje anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri wake nemvura, uye kana adaro anogona hake kupinda mumusasa.

27 “Uye mukono wemombe wechibayiro chechivi nembudzi yechibayiro chechivi, zvine ropa rakapindwa naro munzvimbo tsvene pakuyananisira, zvichabudiswa kunze kwemusasa, uye matehwe azvo, nenyama yazvo nendove yazvo zvichapiswa nemoto.+ 28 Anenge azvipisa anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye anofanira kugeza muviri wake nemvura, uye kana adaro anogona hake kupinda mumusasa.

29 “Uchava murau kwamuri uchagara uripo: Mumwedzi wechinomwe pazuva rechigumi remwedzi wacho, munofanira kuzvirwadzisa,* uye hapana munhu anofanira kuita chero basa,+ angava wemunyika yenyu kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu. 30 Pazuva iri muchayananisirwa,+ kuti munzi makachena. Muchava vakachena pazvivi zvenyu zvese pamberi paJehovha.+ 31 Iro isabata rekuti muzorore zvakakwana, uye munofanira kuzvirwadzisa.*+ Uyu murau uchagara uripo.

32 “Mupristi anozodzwa+ uye anogadzwa* kuti ashumire semupristi+ achitsiva baba vake,+ ndiye achayananisira zvivi uye achapfeka nguo dzejira,+ idzo nguo tsvene.+ 33 Achayananisira nzvimbo tsvenetsvene,+ tende rekusanganira,+ neatari;+ uye achayananisira vapristi nevanhu vese veungano.+ 34 Uyu uchava murau kwamuri uchagara uripo,+ kuti muyananisire vaIsraeri zvivi zvavo zvese kamwe chete pagore.”+

Saka akaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

17 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Taura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese, uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha:

3 “‘“Kana munhu upi zvake weimba yaIsraeri akaurayira mombe kana gwayana kana mbudzi mumusasa kana kuti kunze kwemusasa, 4 panzvimbo pekuuya nayo pasuo retende rekusanganira kuti aipe sechibayiro kuna Jehovha pamberi petebhenekeri yaJehovha, munhu iyeye achanzi ane mhosva yekudeura ropa. Adeura ropa, uye munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.* 5 Izvi zviri kuitirwa kuti vaIsraeri vauye kuna Jehovha, kusuo retende rekusanganira, kumupristi, nezvibayiro zvavari kubayira kusango. Vanofanira kubayira zvibayiro izvi sezvibayiro zverugare kuna Jehovha.+ 6 Uye mupristi achasasa ropa racho paatari yaJehovha iri pasuo retende rekusanganira, oita kuti mafuta acho apfungaire kuti anhuhwirire zvakanaka* kuna Jehovha.+ 7 Saka havafaniri kuramba vachipa zvibayiro zvavo kumadhimoni akaita sembudzi+ avari kuita nawo unzenza.+ Uyu murau uchagara uripo, muzvizvarwa zvenyu zvese.”’

8 “Unofanira kuti kwavari, ‘Munhu wese weimba yaIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu anopa mupiro unopiswa kana kuti chibayiro chinopiswa, 9 uye asingauyi nacho kusuo retende rekusanganira kuzochipa Jehovha, anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*+

10 “‘Munhu wese weimba yaIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu anodya ropa ripi zvaro,+ ndichatarisa munhu anodya ropa ndakatsamwa, uye ndichamubvisa* pakati pevanhu vake. 11 Nekuti upenyu hwenyama huri muropa,+ uye ini ndakariisa paatari+ kuti imi muzviyananisire,* nekuti ropa ndiro rinoyananisira+ kuburikidza neupenyu huri mariri.* 12 Ndokusaka ndati kuvaIsraeri: “Hapana mumwe wenyu anofanira* kudya ropa, uye hapana mutorwa ari kugara pakati penyu+ anofanira kudya ropa.”+

13 “‘Kana mumwe wevaIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu akaenda kunovhima obata mhuka kana kuti shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo+ orifushira neguruva. 14 Nekuti upenyu hwenyama* yese ndiro ropa rayo, nekuti mariri ndimo mune upenyu.* Saka ndati kuvaIsraeri: “Hamufaniri kudya ropa renyama ipi zvayo, nekuti upenyu hwenyama* yese ndiro ropa rayo. Munhu wese anoridya achaurayiwa.”+ 15 Kana munhu wemunyika yenyu kana kuti mutorwa akadya mhuka yakafa yega kana kuti yakabvamburwa nechikara,+ anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri nemvura ova asina kuchena kusvikira manheru;+ uye achava akachena. 16 Asi kana akasageza zvipfeko zvake uye akasageza muviri, achazvidavirira pakukanganisa kwake.’”+

18 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.+ 3 Musaita zvinoitwa nevanhu vemunyika yeIjipiti kwamaigara, uye musaita zvinoitwa nevanhu vemunyika yeKenani, kwandiri kukuendesai.+ Uye musatevedzera mirau yavo. 4 Munofanira kuchengeta mitongo yangu, uye munofanira kuchengeta mirau yangu moitevedzera.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu. 5 Munofanira kuchengeta mirau yangu nemitongo yangu; ichaita kuti munhu wese anoichengeta ararame.+ Ndini Jehovha.

6 “‘Pakati penyu hapafaniri kuva nemunhu anoswedera pedyo nehama yake yepedyo kuti arare nayo.*+ Ndini Jehovha. 7 Usarara nababa vako, uye usarara naamai vako. Ivo ndiamai vako, uye haufaniri kurara navo.

8 “‘Usarara nemudzimai wababa vako.+ Unenge uchinyadzisa baba vako.*

9 “‘Usarara nehanzvadzi yako, angava mwanasikana wababa vako kana kuti mwanasikana waamai vako, pasinei nekuti makaberekwa muimba imwe chete kana kuti hamuna.+

10 “‘Usarara nemwanasikana wemwanakomana wako kana kuti mwanasikana wemwanasikana wako, nekuti ivo kusapfeka kwako.

11 “‘Usarara nemwanasikana wemudzimai wababa vako, mwana wababa vako, nekuti ihanzvadzi yako.

12 “‘Usarara nehanzvadzi yababa vako. Iyo ihama yepedyo yababa vako.+

13 “‘Usarara nemukoma kana munin’ina waamai vako, nekuti ihama yepedyo yaamai vako.

14 “‘Usanyadzisa munin’ina wababa vako* nekurara nemudzimai wavo. Ivo ndimainini vako.+

15 “‘Usarara nemuroora wako.+ Iye mudzimai wemwanakomana wako, saka usarara naye.

16 “‘Usarara nemudzimai wemukoma kana munin’ina wako,+ nekuti unenge uchinyadzisa mukoma kana munin’ina wako.*

17 “‘Usarara nemukadzi pamwe chete nemwanasikana wake.+ Usatora mwanasikana wemwanakomana wake uye mwanasikana wemwanasikana wake kuti urare naye. Ivo ihama dzake dzemumba; iko kuita zvinhu zvakafumuka.*

18 “‘Usatora munin’ina wemudzimai wako kuti ave mudzimai wako wechipiri+ kuti urare naye mukoma wake achiri mupenyu.

19 “‘Usaswedera pedyo nemukadzi kuti urare naye panguva yaanenge asina kuchena ari kumwedzi.+

20 “‘Usarara nemudzimai wemumwe murume,* uchizvisvibisa.+

21 “‘Usabvumira kuti vana vako vapirwe* kuna Moreki.+ Usasvibisa zita raMwari wako saizvozvo.+ Ndini Jehovha.

22 “‘Usarara nemunhurume sekurara kwaunoita nemukadzi.+ Zvinosemesa.

23 “‘Murume haafaniri kurara nemhuka kuti asvibiswe nayo; uye mukadzi haafaniri kumira pamberi pemhuka kuti akwirwe nayo.+ Izvi zvinopesana nemasikirwo akaitwa zvinhu.

24 “‘Musazvisvibisa nezvinhu izvi zvese, nekuti marudzi andiri kudzinga pamberi penyu akazvisvibisa nezvinhu izvi.+ 25 Saka nyika yacho haina kuchena, uye ndichairangira kutadza kwayo, yorutsa vagari vayo.+ 26 Asi imi munofanira kuchengeta mirau yangu nemitongo yangu,+ uye hapana anofanira kuita chero chinhu chipi zvacho pazvinhu izvi zvinosemesa, angava munhu wemunyika yenyu kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu.+ 27 Nekuti zvinhu zvese izvi zvinosemesa ndizvo zvaiitwa nevanhu vakatanga kugara munyika yacho imi musati masvika,+ uye iye zvino nyika yacho haina kuchena. 28 Saka nyika yacho haizokurutsai sekurutsa kwaichaita marudzi amuchawana ariko nekuti munenge musina kuisvibisa. 29 Kana pakaita munhu anoita chero chimwe chezvinhu izvi zvinosemesa, wese anenge azviita anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.* 30 Munofanira kuita zvandakakurayirai kuti murege kutevedzera tsika dzese dzinosemesa dzaiitwa imi musati mauya,+ kuti murege kuzvisvibisa nadzo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

19 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Taura neungano yese yevaIsraeri, uti kwavari, ‘Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini, Jehovha Mwari wenyu, ndiri mutsvene.+

3 “‘Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuremekedza* amai vake nababa vake,+ uye munofanira kuchengeta masabata angu.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu. 4 Musaenda kuna vanamwari vasina zvavanobatsira,+ kana kuzvigadzirira vanamwari vesimbi.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.

5 “‘Kana mukabayira chibayiro cherugare kuna Jehovha,+ munofanira kuchibayira nenzira inoita kuti mufarirwe.+ 6 Chinofanira kudyiwa pazuva ramunochibayira nepazuva rinotevera racho, asi zvinosara kusvikira pazuva rechitatu zvinofanira kupiswa nemoto.+ 7 Asi kana chikangodyiwa pazuva rechitatu, chinenge chava chinhu chinosemesa zvekuti hachizogamuchirwi. 8 Munhu anochidya achazvidavirira kutadza kwake nekuti asvibisa chinhu chitsvene chaJehovha, uye munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*

9 “‘Pamunenge muchikohwa goho remunyika yenyu, hamufaniri kukohwa muchipedzeredza zvinhu zviri kumucheto kweminda yenyu uye hamufaniri kunhonga zvinosaririra pamunokohwa.+ 10 Hamufaniriwo kuunganidza zvinosara muminda yenyu yemizambiringa, kana kunhonga mazambiringa anenge akadonha muminda yenyu yemizambiringa. Munofanira kuzvisiyira varombo*+ nevatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

11 “‘Musaba,+ musanyengera,+ uye ngaparege kuva nemunhu anonyengedza mumwe wake. 12 Musapika zvenhema nezita rangu,+ mosvibisa zita raMwari wenyu. Ndini Jehovha. 13 Usabiridzira mumwe wako,+ uye usapamba zvinhu zvemunhu.+ Haufaniri kurara usina kubhadhara munhu wemaricho kusvikira mangwanani.+

14 “‘Usatuka matsi kana kuisa chinopiringisha pamberi pebofu,+ uye unofanira kutya Mwari wako.+ Ndini Jehovha.

15 “‘Musatonga zvisina kururama. Usasarura murombo kana kuitira tsvete mupfumi.+ Unofanira kutonga mumwe wako zvakarurama.

16 “‘Usafamba-famba pakati pevanhu vako uchitaura zvenhema nezvevamwe.*+ Usatsvaga kudeurisa ropa remumwe wako.*+ Ndini Jehovha.

17 “‘Usavenga hama yako mumwoyo mako.+ Usatomborega kutsiura mumwe wako,+ kuti urege kuva nechivi saiye.

18 “‘Usatsiva+ kana kuchengetera chigumbu vanakomana vevanhu vekwako, ida muvakidzani wako sezvaunozviita.+ Ndini Jehovha.

19 “‘Unofanira kuchengeta mirau yangu: Usaita kuti zvipfuwo zvemhando dzakasiyana zviberekesane. Usadyara mbeu dzemarudzi maviri mumunda mako,+ uye usapfeka chipfeko chine shinda dzemarudzi maviri dzakasanganiswa.+

20 “‘Kana murume akatora mukadzi, orara naye, mukadzi wacho ari muranda akavimbiswa kuroorwa nemumwe murume, asi iye asati adzikinurwa kana kupiwa rusununguko, ngavarangwe. Asi havafaniri kuurayiwa, nekuti akanga asati asunungurwa. 21 Murume wacho anofanira kuuya kuna Jehovha kusuo retende rekusanganira nechibayiro chake chemhosva, iro gondohwe rechibayiro chemhosva.+ 22 Mupristi achamuyananisira chivi chake achishandisa gondohwe rechibayiro chemhosva pamberi paJehovha, uye achakanganwirwa chivi chaakaita.

23 “‘Paunosvika munyika wodyara muti wemuchero, unofanira kuona zvibereko zvawo sezvisina kuchena uye sezvinorambidzwa.* Uchaurambidzwa* kwemakore matatu. Haufaniri kudyiwa. 24 Asi mugore rechina michero yawo yese ichava mitsvene, uye iyi ichava nguva yekufara pamberi paJehovha.+ 25 Mugore rechishanu ndimo maunozokwanisa kudya hako michero yawo kuti goho rako riwedzere. Ndini Jehovha Mwari wako.

26 “‘Hamufaniri kudya chinhu chine ropa.+

“‘Musatenda mashura kana kuita zvemashiripiti.+

27 “‘Musaveura* bvudzi riri kumativi emisoro yenyu kana kushatisa munogumira ndebvu dzenyu.+

28 “‘Musacheka-cheka miviri yenyu kana munhu afa,*+ uye musazvicheka muchizvinyora miviri yenyu. Ndini Jehovha.

29 “‘Usasvibisa mwanasikana wako nekumuita pfambi,+ kuti nyika irege kuita zvechipfambi, yozara netsika dzakafumuka.+

30 “‘Munofanira kuchengeta masabata angu,+ uye munofanira kuremekedza* nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

31 “‘Musaenda kumasvikiro,+ uye musabvunza vafemberi,+ kuti musvibiswe navo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

32 “‘Unofanira kusimukira achena bvudzi,+ uye unofanira kuremekedza munhu akwegura,+ uye unofanira kutya Mwari wako.+ Ndini Jehovha.

33 “‘Kana mutorwa achigara nemi munyika yenyu, musamubata zvakaipa.+ 34 Mutorwa anogara newe ngaave sechizvarwa chemunyika yenyu;+ uye unofanira kumuda sezvaunozviita, nekuti iwe waimbova mutorwa munyika yeIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.

35 “‘Musashandisa zviyero zvekubiridzira pakuyera urefu, uremu, kana kuti uwandu hwezvinhu.+ 36 Munofanira kushandisa zvikero zvakarurama, matombo epachikero akarurama, efa yakarurama* nehini yakarurama.*+ Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti. 37 Saka munofanira kuchengeta mirau yangu yese nemitongo yangu yese, uye munofanira kuitevedzera.+ Ndini Jehovha.’”

20 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munhu wese pavaIsraeri, uye mutorwa wese anogara pakati paIsraeri anopa Moreki mumwe wevana vake, anotofanira kuurayiwa.+ Vanhu vemunyika yenyu vanofanira kumutema nematombo kusvikira afa. 3 Ini ndichatarisa munhu iyeye ndakatsamwa, uye ndichamubvisa pakati pevanhu vake,* nekuti apa Moreki vamwe vana vake uye asvibisa nzvimbo yangu tsvene+ uye ashora zita rangu dzvene. 4 Kana vanhu vemunyika yacho vakaita sevasingaoni zvinenge zvichiitwa nemunhu iyeye paanopa Moreki vana vake uye vakarega kumuuraya,+ 5 ini ndichabva ndatarisa munhu iyeye pamwe chete nemhuri yake ndakatsamwa.+ Ndichabvisa munhu iyeye pakati pevanhu vake* pamwe nevamwe vese vanenge vabatana naye pakuita unzenza naMoreki.

6 “‘Kana ari munhu anoenda kumasvikiro+ nekuvafemberi+ kuti aite unzenza hwekunamata navo, ndichatsamwira munhu iyeye, uye ndichamubvisa pakati pevanhu vake.*+

7 “‘Munofanira kuzvitsaura mova vatsvene,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu. 8 Uye munofanira kuchengeta mirau yangu, muchiitevedzera.+ Ndini Jehovha, ari kukutsvenesai.+

9 “‘Kana pakava nemunhu anotuka baba vake kana amai vake, anotofanira kuurayiwa.+ Sezvo atuka baba vake kana amai vake, ndiye anenge azviurayisa ega.*

10 “‘Kana ari murume anoita upombwe nemudzimai wemunhu, uya anoita upombwe nemudzimai wemumwe wake, anotofanira kuurayiwa, iye pamwe chete nemukadzi wacho waaita naye upombwe.+ 11 Murume anorara nemudzimai wababa vake anyadzisa baba vake.*+ Vese vari vaviri vanotofanira kuurayiwa. Ndivo vanenge vazviurayisa.* 12 Kana murume akarara nemuroora wake, vese vari vaviri vanotofanira kuurayiwa. Vaita zvinopesana nemasikirwo akaitwa vanhu. Ndivo vanenge vazviurayisa.*+

13 “‘Kana murume akarara nemunhurume sekurara kunoita murume nemukadzi, vese vari vaviri vaita zvinosemesa.+ Vanotofanira kuurayiwa. Ndivo vanenge vazviurayisa.*

14 “‘Kana murume akatora mukadzi naamai vake, ikoko kuita zvinhu zvakafumuka.*+ Vanofanira kumupisa nemoto pamwe chete nevakadzi vacho,+ kuti tsika dzakafumuka dzirege kuramba dzichiitwa pakati penyu.

15 “‘Kana murume akarara nemhuka, anotofanira kuurayiwa, uye munofanira kuurayawo mhuka yacho.+ 16 Kana mukadzi akaswedera pedyo nemhuka chero ipi zvayo kuti akwirwe nayo,+ munofanira kuuraya mukadzi wacho pamwe chete nemhuka yacho. Anotofanira kuurayiwa pamwe chete nemhuka yacho. Vanhu vacho vanenge vazviurayisa vega.*

17 “‘Kana murume akarara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana kuti mwanasikana waamai vake, akaona kusapfeka kwake, uye iyewo akaona kusapfeka kwake, zvinonyadzisa.+ Vanofanira kubviswa* pamberi pevanakomana vevanhu vekwavo. Murume wacho anyadzisa hanzvadzi yake.* Anofanira kuzvidavirira kukanganisa kwake.

18 “‘Kana murume akarara nemukadzi ari kumwedzi, murume wacho nemukadzi wacho vafumura panobva ropa rake.+ Vese vari vaviri vanofanira kubviswa pakati pevanhu vekwavo.*

19 “‘Usarara nemunin’ina waamai vako kana hanzvadzi yababa vako, nekuti unenge uchinyadzisa hama yemumba.+ Vanoita izvi vanofanira kuzvidavirira kukanganisa kwavo. 20 Murume anorara nemudzimai wababamudiki vake anyadzisa babamudiki vake.*+ Iye nemukadzi wacho vanofanira kuzvidavirira chivi chavo. Vanofanira kufa vasina mwana. 21 Kana murume akatora mudzimai wemukoma kana munin’ina wake, zvinosemesa.+ Anyadzisa mukoma kana munin’ina wake.* Havafaniri kuva nemwana.

22 “‘Munofanira kuchengeta mirau yangu yese nemitongo yangu yese+ muchiitevedzera,+ kuti nyika yandiri kukuendesai kuti munogara irege kukurutsai.+ 23 Musatevedzera mirau yemarudzi andiri kudzinga pamberi penyu;+ nekuti akaita zvinhu izvi zvese uye ndinoasema.+ 24 Ndokusaka ndakati kwamuri: “Muchatora nyika yavo kuti ive yenyu, uye ini ndichakupai kuti ive yenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu, akutsaurai pakati pemamwe marudzi.”+ 25 Munofanira kusiyanisa mhuka dzakachena nedzisina kuchena, shiri dzisina kuchena nedzakachena;+ musaita kuti mhuka kana shiri kana chero chinhu chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri kuti hachina kuchena chikuitei vanhu vanosemesa.+ 26 Munofanira kuva vatsvene kwandiri, nekuti ini, Jehovha, ndiri mutsvene,+ uye ndiri kukutsaurai pakati pemamwe marudzi kuti muve vangu.+

27 “‘Murume wese kana mukadzi anosvikirwa kana kuti anoita zvekufembera,* anotofanira kuurayiwa.+ Vanhu vanofanira kuvatema nematombo kusvikira vafa. Ndivo vanenge vazviurayisa.’”*

21 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: “Taura nevapristi, ivo vanakomana vaAroni, uti kwavari, ‘Hapana anofanira kuzvisvibisa panofa mumwe munhu* pakati pevanhu vake.+ 2 Asi angazvisvibisa kana iri hama yake yepedyo yakadai saamai vake, baba vake, mwanakomana wake, mwanasikana wake, munin’ina wake, 3 uye angazvisvibisa panofa hanzvadzi yake kana iri mhandara yaigara pedyo naye uye yainge isati yaroorwa. 4 Ngaarege kuzvisvibisa ova asina kuchena kana ari mukadzi wemumwe murume wevanhu vekwake. 5 Havafaniri kuita kuti misoro yavo ive nemiparavara,+ kana kugera kunogumira ndebvu dzavo kana kuzvicheka-cheka miviri yavo.+ 6 Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo,+ uye havafaniri kusvibisa zita raMwari wavo,+ nekuti vanopa Jehovha mipiro inopiswa nemoto, chingwa chaMwari* wavo, saka vanofanira kuva vatsvene.+ 7 Havafaniri kuroora pfambi,+ mukadzi akasvibiswa, kana mukadzi akarambwa nemurume,+ nekuti mupristi mutsvene kuna Mwari wake. 8 Unofanira kumutsvenesa,+ nekuti ndiye anopa chingwa chaMwari wako. Anofanira kuva mutsvene kwauri, nekuti ini, Jehovha, ari kukutsvenesai, ndiri mutsvene.+

9 “‘Kana mwanasikana wemupristi akazvisvibisa nekuita zvechipfambi, iye ari kusvibisa baba vake. Anofanira kupiswa nemoto.+

10 “‘Munhu anenge ari mupristi mukuru pakati pehama dzake uye anenge akadururirwa mafuta ekuzodza nawo mumusoro+ uye akagadzwa* kuti apfeke nguo dzeupristi,+ haafaniri kurega musoro wake wakati nyangarara kana kubvarura nguo dzake.+ 11 Haafaniri kusvika pedyo nemunhu upi zvake akafa;*+ haafaniri kuzvisvibisa kunyange panofa baba vake kana amai vake. 12 Haafaniri kubuda munzvimbo tsvene uye haafaniri kusvibisa nzvimbo tsvene yaMwari wake,+ nekuti chiratidzo chekutsaurira, iwo mafuta ekuzodza nawo aMwari wake,+ chiri paari. Ndini Jehovha.

13 “‘Anofanira kuroora mukadzi achiri mhandara.+ 14 Haafaniri kuroora chirikadzi, mukadzi akarambwa, mukadzi akasvibiswa, kana pfambi; asi anofanira kuroora mhandara kubva pavanhu vekwake. 15 Haafaniri kusvibisa vana vake pakati pevanhu vekwake,+ nekuti ndini Jehovha, ari kumutsvenesa.’”

16 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 17 “Udza Aroni kuti, ‘Pavana vako muzvizvarwa zvavo zvese hapana murume akaremara anobvumirwa kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 18 Kana paine murume akaremara, haabvumirwi kuswedera pedyo: bofu kana anokamhina kana ane chiso chakaremara* kana ane gumbo rakarebesa kana ruoko rwakarebesa, 19 murume ane tsoka yakatyoka kana ruoko rwakatyoka, 20 ane musana wakakombama kana asingarebi,* kana murume ane ziso rakaremara kana ane mhezi kana zvisasa kana ane mabhora akakuvara.+ 21 Hapana murume akaremara pavana* vemupristi Aroni angaswedera pedyo kuti ape mipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Nekuti akaremara, haafaniri kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 22 Anogona hake kudya chingwa chaMwari wake pazvinhu zvitsvenetsvene+ nepazvinhu zvitsvene.+ 23 Asi haafaniri kuswedera pedyo neketeni,+ uye haafaniri kuswedera pedyo neatari,+ nekuti iye akaremara; uye haafaniri kusvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’”+

24 Saka Mozisi akataura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese.

22 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Udza Aroni nevanakomana vake kuti vanofanira kungwarira mabatiro avanoita zvinhu zvitsvene* zvevaIsraeri uye kurega kusvibisa zita rangu dzvene+ muzvinhu zvavanonditsaurira.+ Ndini Jehovha. 3 Vaudze kuti, ‘Muzvizvarwa zvenyu zvese, kana mumwe wevana venyu akaswedera pedyo nezvinhu zvitsvene zvichatsaurirwa Jehovha nevaIsraeri, asi iye asina kuchena, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu.*+ Ndini Jehovha. 4 Pavana vaAroni hapana murume ane maperembudzi+ kana kuti ane zvinoyerera,+ angadya zvinhu zvitsvene kusvikira ava akachena,+ kunyange murume anobata munhu asvibiswa nekubata chitunha,*+ kana murume ari kubuda urume,+ 5 kana murume anobata chimwe chezvisikwa zvisina kuchena zvinofamba zvakawanda+ kana kuti anobata munhu asina kuchena nemhaka yechimwewo chikonzero uyo anogona kumuita kuti ave asina kuchena.+ 6 Munhu anobata chimwe chezvinhu izvi achava asina kuchena kusvikira manheru uye haakwanisi kudya chimwe chezvinhu zvitsvene, asi anofanira kugeza muviri wake nemvura.+ 7 Kana zuva ravira, achava akachena, uye anogona hake kudya zvinhu zvitsvene nekuti ndizvo zvekudya zvake.+ 8 Uyewo, haafaniri kudya mhuka yakafa yega kana kuti chero chinhu chakabvamburwa nemhuka dzesango, ova asina kuchena.+ Ndini Jehovha.

9 “‘Vanofanira kuita zvandakavarayira, kuti vasazopinda muchivi, vofa pamusana pekusvibisa zvinhu zvitsvene. Ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.

10 “‘Hapana mutorwa* anobvumirwa kudya chero chinhu chitsvene.+ Hapana muenzi wemupristi anobva kune imwe nyika kana munhu wemaricho anobvumirwa kudya chero chinhu chitsvene. 11 Asi kana mupristi akatenga munhu nemari yake, munhu iyeye anogona hake kuchidya. Varanda vakaberekerwa mumba make vanogonawo kudya zvekudya zvake.+ 12 Kana mwanasikana wemupristi akaroorwa nemunhu asiri mupristi,* haagoni kudya mupiro wezvinhu zvitsvene. 13 Asi kana mwanasikana wemupristi akava chirikadzi kana kuti akarambwa uye asina vana, odzokera kumba kwababa vake kwaaigara achiri mudiki, anogona hake kudya zvekudya zvababa vake;+ asi hapana mutorwa* anobvumirwa kuzvidya.

14 “‘Kana munhu akadya zvinhu zvitsvene asingazivi, anofanira kuzvidzorera, owedzera chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu pane zvaaunza, ouya nemupiro wacho mutsvene kumupristi.+ 15 Saka havafaniri kusvibisa zvinhu zvitsvene zvevaIsraeri zvavanopa Jehovha,+ 16 voita kuti vanhu varangirwe mhosva yekudya zvinhu zvitsvene; nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’”

17 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 18 “Taura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese, uti kwavari, ‘Kana muIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati pevaIsraeri akauya nechibayiro chinopiswa+ kuna Jehovha kuti azadzise mhiko dzake kana kuti akauya nechibayiro chekungopawo zvake achizvidira,+ 19 anofanira kupa mukono wakanaka+ wemombe, wegwai, kana wembudzi, kuti afarirwe. 20 Musauya nechero chinhu chipi chakaremara,+ nekuti hachizoiti kuti mufarirwe.

21 “‘Kana munhu akauya nechibayiro cherugare+ kuna Jehovha kuti aripe mhiko kana kuti ape chibayiro chekungopawo zvake achizvidira, chibayiro chacho chinofanira kuva chakanaka chiri chemombe kana gwai kana mbudzi, kuti afarirwe. Hachifaniri kutombova nepakaremara. 22 Hapana chibayiro chinofanira kunge chakapofumara, chiine pakatyoka, pakachekwa, kana mhopo, kana mhezi, kana chisasa; hamufaniri kuuya nezvakadai kuna Jehovha kana kupa chibayiro chakadaro paatari yaJehovha. 23 Munogona kuuya nemukono wemombe kana kuti gwai zvine gumbo rakarebesa kana kuti rakanyanyopfupika kuti chive chibayiro chekungopawo henyu muchizvidira, asi hachizogamuchirwi kana chiri chibayiro chemhiko. 24 Musauya kuna Jehovha nechiya chine mabhora akakuvara kana akapwanyika kana akabviswa kana akachekwa, uye hamufaniri kubayira mhuka dzakadaro munyika yenyu. 25 Uye hamufaniri kupa zvinhu zvakadai kubva kumutorwa kuti zvive zvekudya zvinopirwa Mwari wenyu, nekuti zvakashatiswa uye zvakaremara. Hazvizogamuchirwi nemufaro.’”

26 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 27 “Kana mukono wemombe, wegwai kana wembudzi uchinge waberekwa, ucharamba uina amai vawo kwemazuva manomwe,+ asi kubva pazuva rechi8 zvichienda mberi unenge wava kugamuchirwa kuti ubayirwe sechibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto. 28 Musauraya mombe kana gwai pamwe nevana vazvo pazuva rimwe chete.+

29 “Kana mukabayira chibayiro chekuonga kuna Jehovha,+ munofanira kuchibayira nenzira inoita kuti mufarirwe. 30 Chinofanira kudyiwa pazuva iroro. Hapana chinofanira kusara kusvikira mangwanani.+ Ndini Jehovha.

31 “Chengetai mirayiro yangu muitevedzere.+ Ndini Jehovha. 32 Musasvibisa zita rangu dzvene,+ uye ndinofanira kutsveneswa pakati pevaIsraeri.+ Ndini Jehovha, ari kukutsvenesai,+ 33 iye akakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndiratidze kuti ndiri Mwari wenyu.+ Ndini Jehovha.”

23 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri uti kwavari, ‘Mitambo yaJehovha yemwaka nemwaka+ yamunofanira kuzivisa+ ndeyekuungana kutsvene. Iyi ndiyo mitambo yangu yemwaka nemwaka:

3 “‘Basa rinogona kuitwa kwemazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rekuzorora zvakakwana,+ iko kuungana kutsvene. Hapana basa ramunofanira kuita. Richava sabata rinoitirwa Jehovha kwese kwamunogara.+

4 “‘Iyi ndiyo mitambo yaJehovha yemwaka nemwaka, iko kuungana kutsvene, kwamunofanira kuzivisa kana nguva yacho yasvika: 5 Mumwedzi wekutanga, pazuva rechi14 remwedzi wacho,+ panguva yerubvunzavaeni* ndipo pachaitwa Paseka+ yaJehovha.

6 “‘Pazuva rechi15 remwedzi uyu, ndipo pachaitwa Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso unoitirwa Jehovha.+ Kwemazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.+ 7 Pazuva rekutanga, muchava nekuungana kutsvene.+ Hamufaniri kushanda basa rinorema. 8 Asi munofanira kuuya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto kwemazuva manomwe. Pachava nekuungana kutsvene pazuva rechinomwe. Hamufaniri kushanda basa rinorema.’”

9 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 10 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana mazosvika munyika yandiri kukupai, uye makohwa goho rayo, muuye nechisote chezvibereko zvekutanga+ zvegoho renyu kumupristi.+ 11 Uye achavheyesa chisote chacho pamberi paJehovha kuti mufarirwe. Mupristi anofanira kuchivheyesa pazuva rinotevera Sabata. 12 Zuva ramuchaita kuti chisote chacho chivheyeswe, munofanira kupa gondohwe rakanaka, risati rapfuura gore rimwe chete, kuti rive chibayiro chinopisirwa Jehovha. 13 Mupiro waro wezviyo* uchava zvegumi zviviri zveefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, kuti uve mupiro unopisirwa Jehovha nemoto, unonhuhwirira zvakanaka.* Mupiro waro wechinwiwa uchava chikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvehini* zvewaini. 14 Musadya chero chingwa chipi, kana zviyo zvakakangwa, kana zviyo zvitsva, zuva iri risati rasvika, kusvikira mauya nemupiro waMwari wenyu. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese, kwese kwamunogara.

15 “‘Munofanira kuverenga masabata manomwe kubvira pazuva rinotevera Sabata, kubvira pazuva ramunouya nechisote chemupiro unovheyeswa.+ Anofanira kuva mavhiki akazara. 16 Munofanira kuverenga mazuva 50+ kusvikira pazuva rinotevera Sabata rechinomwe, mobva mauya nemupiro wezviyo zvitsva kuna Jehovha.+ 17 Munofanira kuuya nezvingwa zviviri kubva kudzimba dzenyu, kuti zvive mupiro unovheyeswa. Zvinofanira kubikwa nefurawa yakatsetseka inokwana zvegumi zviviri zveefa.* Zvinofanira kubikwa zviine mbiriso,+ sezvibereko zvinotanga kuibva zvinopiwa Jehovha.+ 18 Uye munofanira kuuya nezvingwa zvacho pamwe chete nemakwayana makono akanaka manomwe, rimwe nerimwe riine gore rimwe chete, nemukono mudiki wemombe mumwe chete, nemakondohwe maviri.+ Zvichava chibayiro chinopisirwa Jehovha pamwe chete nemupiro wezviyo uye mupiro wezvinwiwa unoenderana nacho, kuti zvive mupiro unopiswa nemoto, unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha. 19 Uye munofanira kupa mbudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi+ uye makwayana makono maviri, rimwe nerimwe riine gore rimwe chete, kuti ave chibayiro cherugare.+ 20 Mupristi achazvivheyesa pamwe chete nezvingwa zvezvibereko zvinotanga kuibva, kuti uve mupiro unovheyeswa pamberi paJehovha, pamwe chete nemakwayana makono maviri. Zvinofanira kuva chinhu chitsvene kuna Jehovha zvichipiwa mupristi.+ 21 Pazuva iri munofanira kuzivisa+ kuti kuchava nekuungana kutsvene. Hamufaniri kushanda basa rinorema. Uyu murau uchagara uripo kwese kwamunogara kwezvizvarwa zvenyu zvese.

22 “‘Pamunokohwa goho munyika yenyu, hamufaniri kukohwa muchipedzeredza zvinhu zviri kumucheto kweminda yenyu uye hamufaniri kunhonga zvinosaririra pamunenge muchikohwa.+ Munofanira kuzvisiyira varombo*+ nevatorwa.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

23 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 24 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Mumwedzi wechinomwe, pazuva rekutanga remwedzi wacho, munofanira kuchengeta zuva rekuzorora zvakakwana, ramuchayeuchidzwa nekurira kwebhosvo,+ iko kuungana kutsvene. 25 Hamufaniri kuita chero basa ripi zvaro rakaoma, uye muchauya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto.’”

26 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 27 “Asi zuva rechi10 remwedzi uyu wechinomwe iZuva Rekuyananisira.+ Munofanira kuchengeta kuungana kutsvene, uye munofanira kuzvirwadzisa*+ mouya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto. 28 Hapana basa ramunofanira kuita pazuva iri, nekuti izuva rekuyananisira kuti muyananisirwe+ pamberi paJehovha Mwari wenyu. 29 Munhu wese asingazvirwadzisi* pazuva iri achabviswa pakati pevanhu vake.*+ 30 Uye munhu wese anoita basa pazuva iri ndichamuparadza pakati pevanhu vake. 31 Hapana basa ramunofanira kuita pazuva iri. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese, kwese kwamunogara. 32 Isabata renyu rekuzorora zvakakwana, uye muchazvirwadzisa*+ pazuva rechi9 remwedzi wacho manheru. Munofanira kuchengeta sabata renyu kubvira manheru kusvikira manheru.”

33 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 34 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Pazuva rechi15 remwedzi uyu wechinomwe pachava neMutambo Wematumba wemazuva manomwe unoitirwa Jehovha.+ 35 Pachava nekuungana kutsvene pazuva rekutanga, uye hamufaniri kushanda basa rinorema. 36 Kwemazuva manomwe munofanira kuuya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto. Pazuva rechi8, munofanira kuchengeta kuungana kutsvene,+ uye munofanira kuuya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto. Iri richava zuva regungano dzvene. Hamufaniri kushanda basa rinorema.

37 “‘Iyi ndiyo mitambo yaJehovha yemwaka nemwaka+ yamunofanira kuzivisa sekuungana kutsvene,+ yekuti muuye nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto: chibayiro chinopiswa+ uye mupiro wezviyo+ wechibayiro, nemupiro wezvinwiwa+ maererano nezvinodiwa pazuva racho. 38 Izvi zvinowedzera pane zvinopiwa pamasabata aJehovha,+ uye pazvipo zvenyu,+ pamipiro yenyu yemhiko,+ uye pamipiro yenyu yekungopawo muchizvidira,+ yamunofanira kupa Jehovha. 39 Asi pazuva rechi15 remwedzi wechinomwe, pamunenge maunganidza zvibereko zvenyika, munofanira kupemberera mutambo waJehovha kwemazuva manomwe.+ Zuva rekutanga richava rekuzorora zvakakwana uye zuva rechi8 richava rekuzorora zvakakwana.+ 40 Pazuva rekutanga, munofanira kutanha michero pamiti yakanakisisa, kutora mashizha emichindwe,+ mapazi emiti ine mashizha akawanda uye mishambangwena yemurwizi,* uye munofanira kufara+ pamberi paJehovha Mwari wenyu kwemazuva manomwe.+ 41 Muchaupemberera kwemazuva manomwe pagore semutambo unoitirwa Jehovha.+ Munofanira kuupemberera mumwedzi wechinomwe semurau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. 42 Munofanira kugara mumatumba kwemazuva manomwe.+ VaIsraeri vese vanofanira kugara mumatumba, 43 kuti vana vamuchazobereka vazive+ kuti ndakagarisa vaIsraeri mumatumba pandakanga ndichivabudisa munyika yeIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

44 Saka Mozisi akaudza vaIsraeri nezvemitambo yaJehovha yemwaka nemwaka.

24 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Udza vaIsraeri kuti vakuunzire mafuta akachena, akasvinwa mumaorivhi, ekuisa mumarambi kuti agare achibvira.+ 3 Kunze kweketeni reChipupuriro mutende rekusanganira, Aroni anofanira kuita kuti marambi agare achibvira kubva manheru kusvikira mangwanani pamberi paJehovha. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. 4 Anofanira kuronga marambi acho pachigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa pamberi paJehovha nguva dzese.

5 “Unofanira kutora furawa yakatsetseka, wobika zvingwa 12 zveraundi.* Chingwa chimwe nechimwe chinofanira kubikwa nezvegumi zviviri zveefa.* 6 Uronge zvingwa zvacho zvakaturikidzana patafura yegoridhe pamberi paJehovha,+ zvitanhatu zvakaturikidzana pazvo zvega,+ zvimwe zvitanhatu zvakaturikidzana zvega. 7 Unofanira kutora zvinonhuhwirira zvichena wozviisa pamusoro pezvingwa zvacho zvakaturikidzana, uye zvinonhuhwirira izvi zvichapisirwa Jehovha nemoto zvichimiririra chingwa chabviswa semupiro.*+ 8 PaSabata rega rega, anofanira kugara achichironga pamberi paJehovha.+ Iyi isungano ichagara iripo kuvaIsraeri. 9 Chichava chaAroni nevanakomana vake,+ uye vachachidya munzvimbo tsvene,+ nekuti chinhu chitsvenetsvene kwaari chinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Uyu murau uchagara uripo.”

10 PavaIsraeri paiva nemumwe mwanakomana wemukadzi wechiIsraeri, baba vake vari vechiIjipiti,+ uye mwana wacho akatanga kurwa nemurume wechiIsraeri vari mumusasa. 11 Mwana wemukadzi wacho wechiIsraeri akatanga kumhura Zita* achirituka.+ Saka vakauya naye kuna Mozisi.+ Amai vake vainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibri wedzinza raDhani. 12 Vakamuisa* muusungwa kusvikira vava kuziva zvakanga zvasarudzwa+ naJehovha.

13 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 14 “Budisa uya amhura kunze kwemusasa, uye vanhu vese vamunzwa ngavaise maoko avo pamusoro wake, uye ungano yese inofanira kubva yamutema nematombo.+ 15 Uye unofanira kuudza vaIsraeri kuti, ‘Munhu wese anotuka Mwari wake, achazvidavirira chivi chake. 16 Saka munhu anomhura zita raJehovha anotofanira kuurayiwa.+ Ungano yese inotofanira kumutema nematombo. Mutorwa anofanira kuurayiwa sezvinongoitwa munhu wemunyika yacho kana amhura Zita.

17 “‘Kana munhu akauraya munhu,* iye anotofanira kuurayiwawo.+ 18 Munhu anorova chipfuwo ochiuraya,* anofanira kuchiripa, upenyu huchatsiva upenyu.* 19 Kana munhu akakuvadza mumwe wake, zvaanenge aita ndizvo zvaanofanira kuitirwawo.+ 20 Kutyoka kuchatsiviwa nekutyoka, ziso neziso, zino nezino, kukuvadza kwaanenge aita munhu ndiko kwaanofanira kuitwawo.+ 21 Munhu anorova mhuka oiuraya anofanira kuiripa,+ asi anorova munhu omuuraya anofanira kuurayiwawo.+

22 “‘Mutongo mumwe chete uchashanda kwamuri, kungava kumutorwa kana kumunhu wemunyika yenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”

23 Mozisi akabva ataura nevaIsraeri, vakabudisa uya akanga atuka kunze kwemusasa, vakamutema nematombo.+ Saka vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

25 Jehovha akataurazve naMozisi muGomo reSinai, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana mazosvika munyika yandichakupai,+ nyika yacho ichachengeta sabata rinoitirwa Jehovha.+ 3 Unofanira kudyara mbeu mumunda mako kwemakore matanhatu, uye unofanira kuchekerera munda wako wemizambiringa kwemakore matanhatu, uye uchakohwa zvibereko zvemunda wacho.+ 4 Asi mugore rechinomwe, panofanira kuitwa sabata rekuzorora zvakakwana renyika, sabata rinoitirwa Jehovha. Haufaniri kudyara mbeu mumunda mako kana kuchekerera munda wako wemizambiringa. 5 Haufaniri kukohwa zvinosara zvichimera zvega kana makohwa, uye haufaniri kukohwa mazambiringa anomera pamizambiringa isina kuchekererwa. Panofanira kuva negore rekuzorora zvakakwana renyika. 6 Asi unogona hako kudya zvinomera munyika painenge iri pasabata; iwe, varandarume nevarandakadzi vako, vanhu vako vemaricho, nevatorwa vari kugara newe, munogona henyu kuzvidya, 7 uyewo zvipfuwo zvako nemhuka dzemusango dziri munyika yako zvinogona kudya. Zvese zvinomera munyika zvinogona kudyiwa.

8 “‘Muchaverenga masabata manomwe emakore, kureva makore manomwe akapetwa kanomwe, uye masabata manomwe emakore acho achasvika makore 49. 9 Muchabva maridza hwamanda zvinonzwika mumwedzi wechinomwe, pazuva rechi10 remwedzi wacho; paZuva Rekuyananisira,+ munofanira kuridza hwamanda yacho zvekuti munhu wese ari munyika yenyu anoinzwa. 10 Munofanira kutsaura gore rechi50, mozivisa rusununguko kuvagari vese vari munyika yacho.+ Richava Jubheri kwamuri, uye mumwe nemumwe achadzokera kunhaka yake uye mumwe nemumwe anofanira kudzokera kumhuri yake.+ 11 Gore iroro rechi50 richava reJubheri kwamuri. Hamuzodyari mbeu kana kukohwa zvinosara zvichimera zvega munyika kana kukohwa mazambiringa anomera pamizambiringa isina kuchekererwa.+ 12 Nekuti iJubheri. Rinofanira kuva dzvene kwamuri. Munogona henyu kungodya zvinomera zvega munyika.+

13 “‘Mugore iri reJubheri, mumwe nemumwe wenyu anofanira kudzokera kunhaka yake.+ 14 Kana ukatengesera mumwe wako chimwe chinhu kana kuti ukatenga chimwe chinhu kwaari, musabiridzirane.+ 15 Unofanira kutenga kune mumwe wako uchifunga nezvekuti pava nemakore mangani Jubheri rapfuura, uye anofanira kukutengesera zvichienderana nemakore asara ekukohwa zvirimwa.+ 16 Kana makore asara akawanda, anofanira kuwedzera mutengo wacho, uye kana ari mashoma, anofanira kudzikisa mutengo wacho, nekuti ari kukutengesera zvichienderana negoho richabuda ipapo. 17 Pakati penyu hapafaniri kuva nemunhu anobiridzira mumwe wake,+ uye munofanira kutya Mwari wenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.+ 18 Kana mukateerera mirau yangu uye mukachengeta mitongo yangu, muchagara munyika yacho musina chinokuwanai.+ 19 Nyika yacho ichabereka zvibereko zvayo,+ uye muchadya muchiguta, mogara imomo musina chinokuwanai.+

20 “‘Asi kana mukati: “Ko kana tisingadyari mbeu kana kuunganidza zvirimwa zvedu, tichadyei mugore rechi7?”+ 21 Ndichaita kuti chikomborero changu chive pamuri mugore rechi6, uye nyika ichabereka zvibereko zvinokwana makore matatu.+ 22 Muchabva mazodyara mbeu mugore rechi8 uye muchadya zvamakakohwa kare kusvikira mugore rechi9. Muchadya zvamakakohwa kare kusvikira makohwazve.

23 “‘Minda yacho haifaniri kutengeswa zvachose,+ nekuti nyika yacho ndeyangu.+ Nekuti kana ndichikuonai, muri vatorwa uye vanhu vakangopiwa pekugara.+ 24 Munyika yenyu yese, munofanira kupa munhu kodzero yekutengazve munda wake.

25 “‘Kana hama yako ikava murombo zvekuti inofanira kutengesa mumwe munda wayo, mudzikinuri ane ukama hwepedyo nayo anofanira kuuya odzikinura zvakatengeswa nehama yake.+ 26 Kana munhu asina mudzikinuri asi ozopfuma zvekuti anowana mari yekuzvidzikinura, 27 anofanira kuverenga ukoshi hwembesa dzakawanika kubvira paakautengesa, odzorera mari yasara achibvisa pane yaakatanga kutengesa nayo. Kana adaro anogona hake kudzokera kunhaka yake.+

28 “‘Asi kana akashaya chekuudzikinura nacho, munda wacho ucharamba uri wemunhu akautenga kusvikira mugore reJubheri;+ uye anozoudzoserwa mugore reJubheri, odzokera kunhaka yake.+

29 “‘Kana munhu akatengesa imba iri muguta rine rusvingo, anoramba aine kodzero yekuidzikinura kwegore rese kubvira panguva yaakaitengesa; acharamba aine kodzero yekuidzikinura+ kwegore rese. 30 Asi kana gore rikapera isina kudzikinurwa, imba yacho iri muguta rine rusvingo icharamba iri nhaka yemunhu akaitenga kwezvizvarwa zvake zvese. Haifaniri kudzoserwa mugore reJubheri. 31 Asi dzimba dzisina rusvingo rwakadzipoteredza dzinofanira kuverengwa seminda yekumamisha. Dzinoramba dziine kodzero yekudzikinurwa, uye dzinofanira kudzoserwa mugore reJubheri.

32 “‘Kana dziri dzimba dzevaRevhi dziri mumaguta avo,+ vaRevhi vacharamba vaine kodzero yekudzidzikinura. 33 Kana muRevhi akatadza kudzikinura imba yake yakatengeswa muguta rine nhaka yake, anofanira kudzoserwa imba yacho mugore reJubheri,+ nekuti dzimba dzemumaguta dzevaRevhi ndidzo nhaka yavo pakati pevaIsraeri.+ 34 Uyezve, mafuro+ akapoteredza maguta avo haafaniri kutengeswa, nekuti inhaka yavo kusvikira nariini.

35 “‘Kana hama yako iri pedyo newe ikava murombo, yotadza kuzviriritira, unofanira kuibatsira+ sekubatsira kwaunoita mutorwa nemunhu akauya kuzogara pakati penyu,+ kuti irambe ichirarama pakati penyu. 36 Usaita kuti akupe mubereko kana kukudzorera zvinhu zvako zvawanda.+ Unofanira kutya Mwari wako,+ uye hama yako ichiramba ichirarama pakati penyu. 37 Usamukweretesa mari kuti azokupa yabereka+ kana kumupa zvekudya kuti azokudzorera zvawanda. 38 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti+ kuti ndikupei nyika yeKenani, kuti ndive Mwari wenyu.+

39 “‘Kana hama yako inogara pedyo newe ikava murombo, yozvitengesa kwauri,+ usaimanikidza kuita basa reuranda.+ 40 Anofanira kubatwa semunhu wemaricho,+ semunhu akauya kuzogara pakati penyu. Anofanira kukushandira kusvikira mugore reJubheri. 41 Zvadaro achakusiya, odzokera kuhama dzake pamwe nevana* vake vaainavo. Anofanira kudzokera kunhaka yemadzitateguru ake.+ 42 Nekuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti.+ Havafaniri kuzvitengesa sezvinoitwa muranda. 43 Usamuitira utsinye,+ uye unofanira kutya Mwari wako.+ 44 Varandarume nevarandakadzi venyu vanofanira kubva kumarudzi akakupoteredzai, ikoko ndiko kwamunogona kutenga murandarume kana murandakadzi. 45 Munogonawo kutenga vanakomana vevanhu vakauya kuzogara pakati penyu;+ munogona kutenga vana vavo vakazvarirwa munyika yenyu, uye vachava varanda venyu. 46 Munogona kuvapfuudza kuvanakomana venyu vanokuteverai senhaka inogara iripo. Munogona kuvaita vashandi venyu, asi hamufaniri kubata hama dzenyu dzechiIsraeri neutsinye.+

47 “‘Asi kana zvikaitika kuti mutorwa kana kuti munhu akauya kuzogara pakati penyu anova mupfumi uye hama yako inogara pedyo naye yova murombo, zvekuti inenge ichifanira kuzvitengesa kumutorwa kana kuti kumunhu akauya kuzogara pakati penyu, kana kuti kumumwe munhu wemumhuri yemutorwa wacho, 48 hama yako icharamba iine kodzero yekuzvidzikinura. Mukoma wake kana munin’ina wake anogona kumudzikinura,+ 49 kana kuti anogona kudzikinurwa nababamudiki vake kana mwanakomana wababamudiki vake kana kuti chero hama yake yepedyo, munhu wemumba make.

“‘Kana kuti iye wacho akava mupfumi, anogonawo kuzvidzikinura.+ 50 Iye pamwe chete nemunhu akamutenga vanofanira kuverenga kubva panguva yaakazvitengesa kwaari kusvika gore reJubheri,+ uye mari yaakazvitengesa nayo ichaenderana nemakore acho.+ Mari yaakashandira mazuva aaishanda inofanira kuenderana nemari yemunhu wemaricho.+ 51 Kana pachiine makore akawanda asara, anofanira kubhadhara mutengo werudzikinuro unoenderana nemakore acho. 52 Asi kana kwangosara makore mashomanana kuti gore reJubheri risvike, anofanira kuverenga ega makore acho, obhadhara mutengo wekuzvidzikinura zvichienderana nemakore asara. 53 Anofanira kuramba achimushandira gore negore sezvinoita munhu wemaricho; uye unofanira kuva nechokwadi chekuti haamubati zveutsinye.+ 54 Asi kana asingagoni kuzvidzikinura achishandisa nzira idzi, anozosunungurwa mugore reJubheri,+ pamwe nevana* vake vaainavo.

55 “‘Nekuti vaIsraeri varanda vangu. Varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.

26 “‘Musazvigadzirira vanamwari vasina zvavanobatsira,+ uye musazvimisira mufananidzo wakavezwa+ kana kuti shongwe dzinoyera, uye musamisa dombo rakavezwa+ munyika yenyu kuti murikotamire;+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu. 2 Munofanira kuchengeta masabata angu uye kuremekedza* nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

3 “‘Kana mukaramba muchifamba mumirau yangu, muchichengeta mirayiro yangu nekuitevedzera,+ 4 ndichakunayisirai mvura panguva yayo,+ uye nyika yacho ichabereka zvibereko zvayo,+ uye miti yemusango ichabereka michero yayo. 5 Mwaka wenyu wekupura uchasvika panguva yamunokohwa mazambiringa, uye kukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yekudyara mbeu; uye muchadya zvekudya zvenyu muchiguta, mogara munyika yenyu pasina chinokuwanai.+ 6 Ndichaisa rugare munyika yacho,+ uye mucharara pasi pasina munhu anokutyisai;+ uye ndichabvisa zvikara zvinorura munyika yacho, uye bakatwa rehondo harizopfuuri nemunyika yenyu. 7 Muchadzingirira vavengi venyu, uye ivo vachaurayiwa nebakatwa pamberi penyu. 8 Vanhu venyu vashanu vachadzingirira vanhu 100, uye vanhu venyu 100 vachadzingirira 10 000, uye vavengi venyu vachaurayiwa nebakatwa pamberi penyu.+

9 “‘Ndichakufarirai,* ndoita kuti mubereke, muwande,+ uye ndichachengeta sungano yangu nemi.+ 10 Pamunenge muchiri kudya zvamakakohwa gore rakapera, munenge mava kufanira kubudisa zvitsaru zvacho kuti muwane pekuisa zvitsva. 11 Uye ndichaisa tebhenekeri yangu pakati penyu,+ uye handizokurambai. 12 Ndichafamba pakati penyu, ndova Mwari wenyu,+ uye imi muchavawo vanhu vangu.+ 13 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti kuti murege kuramba muri varanda vavo, uye ndakatyora zvikeyi zvejoko renyu, ndikakufambisai makasimudza misoro.

14 “‘Asi kana mukasanditeerera kana kuti mukasachengeta mirayiro iyi yese,+ 15 uye kana mukaramba mirau yangu,+ uye kana mukasema mitongo yangu kuti murege kuchengeta mirayiro yangu yese, motyora sungano yangu,+ 16 iniwo ndichakuitirai zvinotevera: Ndichakurangai nezvinhu zvinotyisa, tiibhii uye fivha, maziso enyu otadza kuona uye muchaperezeka. Muchangodyarira mbeu yenyu pasina, nekuti vavengi venyu vachazvidya.+ 17 Ndichakutarisai ndakatsamwa, uye muchakundwa nevavengi venyu;+ uye vaya vanokuvengai vachakutsika-tsikai,+ uye muchatiza pasina ari kukudzingirirai.+

18 “‘Kana mukasanditeerera kunyange zvese izvi zvaitika, ndichakurangai zvakapetwa kanomwe nemhaka yezvivi zvenyu. 19 Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu ndoita kuti denga renyu rive sesimbi,+ uye nyika yenyu ive semhangura. 20 Muchapedzera simba renyu pasina, sezvo nyika yenyu isingazobereki zvibereko zvayo,+ uye miti yepanyika isingazobereki michero.

21 “‘Asi kana mukaramba muchipikisana neni, muchiramba kunditeerera, ndichakurovai zvakapetwa kanomwe, maererano nezvivi zvenyu. 22 Ndichatuma zvikara zvesango pakati penyu,+ uye zvichakuurayirai vana venyu,+ zvichapedza zvipfuwo zvenyu, uye zvichaita kuti musare mava vashoma, uye migwagwa yenyu ichange isisina anoifamba.+

23 “‘Kana mukaramba kuti ndikururamisei kunyange izvi zvaitika+ uye mukaramba muchipikisana neni, 24 iniwo ndichabva ndapikisana nemi, uye ini pachangu ndichakurovai zvakapetwa kanomwe nemhaka yezvivi zvenyu. 25 Ndichakuunzirai bakatwa rinokutsivai nekuti munenge matyora sungano.+ Kana mukaungana mumaguta enyu, ndichatuma chirwere pakati penyu,+ uye muchaiswa mumaoko emuvengi.+ 26 Kana ndaparadza pamunoisira* chingwa chenyu,+ vakadzi gumi vachabikira chingwa chenyu muovheni imwe chete, vokugovanisai vachiita zvekuyera+ uye muchadya asi hamuzoguti.+

27 “‘Kana mukaramba kunditeerera kunyange izvi zvaitika, uye mukaramba muchipikisana neni, 28 ndichatonyanya kupikisana nemi,+ uye ini pachangu ndichakurangai zvakapetwa kanomwe nemhaka yezvivi zvenyu. 29 Saka muchadya nyama yevanakomana venyu, uye muchadya nyama yevanasikana venyu.+ 30 Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzinoyera dzakakwirira,+ ndoputsa zvigadziko zvenyu zvekupisira rusenzi, ndounganidza zvitunha zvenyu pamusoro pezvidhori zvenyu zvisina upenyu zvinosemesa*+ uye ndichatarisa kurutivi ndichikusemai.+ 31 Ndichaita kuti maguta enyu aparadzwe nebakatwa,+ uye ndichaita kuti nzvimbo dzenyu dzinoyera dzive matongo, uye handizonhuhwidzi zvibayiro zvenyu zvinonhuhwirira zvakanaka.* 32 Ini pachangu ndichaita kuti nyika ive dongo,+ uye vavengi venyu vari kugara mairi vachashamiswa pavanoitarisa.+ 33 Uye ndichakuparadzirai pakati pemarudzi,+ ndovhomora bakatwa ndichikudzingirirai;+ nyika yenyu ichava dongo,+ uye maguta enyu achaparadzwa.

34 “‘Panguva iyoyo nyika icharipa masabata ayo mazuva ese ainenge iri dongo, pamunenge muri munyika yevavengi venyu. Panguva iyoyo nyika ichazorora,* sezvo ichifanira kuripa masabata ayo.+ 35 Mazuva ese ainenge iri dongo ichazorora, nekuti haina kuzorora pamasabata enyu pamaigara mairi.

36 “‘Kana vari vaya vanosara vari vapenyu,+ ndichaita kuti vaore mwoyo vari munyika dzevavengi vavo; uye vachatiza vangonzwa shizha riri kupeperetswa, uye vachatiza sezvinoita munhu ari kutiza bakatwa, vodonha pasina ari kuvadzingirira.+ 37 Vachapiringishana sezvinoita vanhu vari kutiza bakatwa, kunyange pasina ari kuvadzingirira. Muchatadza kumirisana nevavengi venyu.+ 38 Muchaparara pakati pemarudzi,+ uye nyika yevavengi venyu ichakuparadzai. 39 Vamwe venyu vanenge vasara vachasiyiwa vachiora vari munyika yevavengi venyu+ nemhaka yekukanganisa kwenyu. Vachaora nemhaka yekukanganisa kwemadzibaba avo.+ 40 Vachabva vazoreurura kukanganisa kwavo,+ voreururazve kukanganisa uye kusatendeka kwemadzibaba avo, vobvuma kuti vakaita zvekusatendeka, nekufamba kwavakaita vachipikisana neni,+ 41 ini ndikabva ndapikisanawo navo+ nekuvaunza kunyika yevavengi vavo.+

“‘Zvichida panguva iyoyo mwoyo yavo isina kuchecheudzwa ichaninipiswa,+ voripa kukanganisa kwavo. 42 Uye ndichayeuka sungano yangu naJakobho,+ nesungano yangu naIsaka,+ uye ndichayeuka sungano yangu naAbrahamu,+ ndoyeuka nyika yacho. 43 Pavakanga vasiya nyika yacho yakangodaro, yairipa masabata ayo+ uye yaiva dongo ivo vasipo, uye vakanga vachiripa kukanganisa kwavo, nekuti vakaramba mitongo yangu, uye vakasema mirau yangu.+ 44 Asi pasinei nezvese izvi, pavari munyika yevavengi vavo, handizovarambi zvachose+ kana kuvarasa zvekusvika pakuvaparadza vese, ndichityora sungano yangu+ navo, nekuti ndini Jehovha Mwari wavo. 45 Ndichafunga nezvavo ndoyeuka sungano yandakaita nemadzitateguru avo+ andakabudisa munyika yeIjipiti mamwe marudzi achizviona,+ kuti ndiratidze kuti ndiri Mwari wavo. Ndini Jehovha.’”

46 Iyi ndiyo mirau, mitongo, nemitemo zvakagadzwa naJehovha pakati pake nevaIsraeri muGomo reSinai achishandisa Mozisi.+

27 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko isingawanzoitwa+ yekuti ape Jehovha mari yakatarwa ichinzi inoenderana neukoshi hwemunhu,* 3 mari yacho yakatarwa yemunhurume ane makore ari pakati pe20 ne60 ichange iri mashekeri* 50 esirivha anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene.* 4 Asi kana ari munhukadzi, mari yacho yakatarwa ichava mashekeri 30. 5 Kana ari munhu ane makore ari pakati pe5 ne20, mari yakatarwa ichange iri mashekeri 20 kana ari munhurume, uye mashekeri 10 kana ari munhukadzi. 6 Kana zera racho richitangira pamwedzi mumwe chete kusvikira pamakore mashanu, mari yakatarwa ichange iri mashekeri mashanu esirivha kana ari munhurume, uye mashekeri matatu esirivha kana ari munhukadzi.

7 “‘Kana ari munhu ane makore 60 zvichikwira, mari yakatarwa ichange iri mashekeri 15 kana ari munhurume, uye mashekeri 10 kana ari munhukadzi. 8 Asi kana ari murombo zvakanyanya zvekuti haakwanisi kuwana mari yakatarwa,+ munhu wacho anofanira kumira pamberi pemupristi, uye mupristi achamuudza mari yaanofanira kubvisa. Akaita mhiko wacho achatarirwa nemupristi mari yaanofanira kubvisa zvichienderana nekuti anokwanisa zvipi.+

9 “‘Kana munhu akaita mhiko yekuti anoda kubvisa mhuka inokodzera kupiwa sechibayiro kuna Jehovha, chese chinenge chapiwa Jehovha chichava chinhu chitsvene. 10 Haagoni kuitsiva, kana kuchinjanisa yakanaka neyakaipa kana kuti yakaipa neyakanaka. Asi kana zvikaitika kuti anoitsiva neimwe mhuka, dzese dziri mbiri, yaanga agara apa yacho neiya yaanoitsiva nayo dzichava tsvene. 11 Kana iri mhuka isina kuchena+ isingaiti kupa sechibayiro kuna Jehovha, anofanira kumisa mhuka yacho pamberi pemupristi. 12 Mupristi achabva atara ukoshi hwayo, kuti aone kana yakanaka kana kuti yakaipa. Mari inenge yataurwa nemupristi ndiyo ichatevedzerwa. 13 Asi kana zvikaitika kuti anoda kuidzikinura, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa+ chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu.

14 “‘Kana munhu akatsaura imba yake kuti ive chinhu chitsvene kuna Jehovha, mupristi achatara ukoshi hwayo, ingava yakanaka kana kuti yakaipa. Mutengo wayo uchaenderana neukoshi hunenge hwataurwa nemupristi.+ 15 Asi kana munhu anenge akatsaura imba yake ava kuda kuidzikinura, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu, uye ichava yake.

16 “‘Kana munhu akatsaura mumwe munda wake opa Jehovha, ukoshi hwawo hunofanira kutarwa maererano neuhwandu hwembeu inodyarwa mauri: homeri* yembeu yebhari ichava mashekeri 50 esirivha. 17 Kana akatsaura munda wake mugore reJubheri,+ mutengo wakatarwa hauchinje. 18 Kana akatsaura munda wake Jubheri rapfuura, mupristi achaverenga mutengo wakaenzanirana nemakore asara kusvikira pagore reJubheri rinotevera, saka mutengo wawo wakatarwa+ unofanira kuderedzwa. 19 Asi kana zvikaitika kuti munhu wacho akautsaura anoda kudzikinura munda wacho, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu, uye ucharamba uri wake. 20 Kana akasadzikinura munda wacho uye munda wacho ukatengeserwa mumwe munhu, haugoni kuzodzikinurwazve. 21 Kana munda ukasunungurwa mugore reJubheri, uchava chinhu chitsvene kuna Jehovha, semunda waakatsaurirwa. Uchava nhaka yemupristi.+

22 “‘Kana munhu akatsaurira kuna Jehovha munda waakatenga usiri nhaka yake,+ 23 mupristi achamutarira mutengo wacho maererano nemakore anenge asara kusvikira pagore reJubheri, uye achabvisa mari yacho pazuva iroro.+ Iwo chinhu chitsvene kuna Jehovha. 24 Mugore reJubheri, munda wacho uchadzokera kune akanga amutengesera, kumuridzi wemunda wacho.+

25 “‘Mutengo wese unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene. Shekeri racho rinofanira kuita magera* 20.

26 “‘Asi hapana munhu anofanira kutsaura mhuka inotanga kuberekwa, nekuti ndeyaJehovha.+ Ingava mombe kana kuti gwai, yagara iri yaJehovha.+ 27 Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena uye achida kuidzikinura maererano nemari yakatarwa, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu.+ Asi kana isina kudzikinurwa, ichatengeswa maererano nemari yakatarwa.

28 “‘Asi hapana chinhu chinotsaurirwa nemunhu zvachose pazvinhu zvake kuti chipiwe Jehovha chinofanira kutengeswa kana kutengwa, angava munhu kana mhuka kana kuti munda wake. Chinhu chese chakatsaurwa chitsvenetsvene kuna Jehovha.+ 29 Uyewo hapana munhu akanzi anofanira kuurayiwa, akatsaurwa kuti aparadzwe anogona kudzikinurwa.+ Anotofanira kuurayiwa.+

30 “‘Zvegumi zvese+ zvenyika, zvingava zvemumunda kana michero yemiti, ndezvaJehovha. Izvo zvinhu zvitsvene kuna Jehovha. 31 Kana zvikaitika kuti munhu anoda kudzikinura chegumi chake, anofanira kuwedzera pamari yacho yakatarwa chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu. 32 Kana zviri zvegumi zvese zvemombe nemakwai nembudzi, zvese zvinopfuura nepasi petsvimbo yemufudzi, chechigumi chacho chichava chitsvene kuna Jehovha. 33 Haafaniri kuongorora kuti chakanaka here kana kuti chakaipa, uyewo haafaniri kuchichinja. Asi kana zvikaitika kuti anoedza kuchichinja, zvese zviri zviviri chaanga agara apa chacho nechiya chaanochitsiva nacho zvinofanira kuva zvinhu zvitsvene.+ Hachigoni kudzikinurwa.’”

34 Iyi ndiyo mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha muGomo reSinai+ kuti ape vaIsraeri.

ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”

Kana kuti “nemafuta epaitsvo.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “nemafuta epaitsvo.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “madota ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “chichiyeuchidza nezvemupiro wabviswa.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

Kana kuti “uchiyeuchidza nezvemupiro wabviswa.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Ichi ndicho chimusoro chezvirimwa zvakadai sezviyo, chinochekwa panokohwewa.

Kana kuti “zvichiyeuchidza nezvemupiro wabviswa.”

Kana kuti “chibayiro chekuwadzana.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “chingwa,” kureva, mugove waMwari pachibayiro cherugare.

ChiHeb., “chingwa,” kureva, mugove waMwari pachibayiro cherugare.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “madota ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “akanzwa kutuka kwakaitwa pachena.”

Pfungwa yacho inenge yekuti anorega kuzadzisa mhiko yake.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “iyeuchidze nezvemupiro wabviswa.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Kana kuti “chipfeko chemukati.”

Kana kuti “madota ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “zvichiyeuchidza nezvemupiro wabviswa.”

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Kana kuti “mweya ukagunzva.”

Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”

Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”

Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.

Kana kuti “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira kwaAroni kuna Mwari.”

Kana kuti “nemafuta akapoteredza itsvo.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Chingwa ichi cheraundi chaiva neburi pakati.

Chingwa ichi cheraundi chaiva neburi pakati.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.

ChiHeb., “ruoko rwenyu ruzadzwe.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.

Iyi itsoka yakaomarara yemhuka dzakadai semombe nembudzi.

Izvi zviminzwa zvinenge zvakabudikira kumativi, pamusana, nekubesu rezvisikwa zvakadai sehove.

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “Zvipukanana zvese.”

ChiHeb., “paganda renyama yake.”

Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti maperembudzi rinoreva zvakawanda uye rinogona kusanganisira zvirwere zvakasiyana-siyana zvinotapukira paganda. Rinogonawo kusanganisira umwewo utachiona hungaenda pazvipfeko nepadzimba.

Kana kuti “haachatapukiri vamwe.”

ChiHeb., “paganda renyama yake.”

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Rogi yakanga yakaenzana nemarita 0,31. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “pachivi.”

ChiHeb., “pachivi.”

Kana kuti “chipfeko chemukati.”

Kana kuti “kuvhara nyama yake iri pachena.”

Zvingava zvichireva kuti “Mbudzi Inonyangarika.”

Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.” “Kuzvirwadzisa” kunowanzonzwisiswa sekunoreva nzira dzakasiyana-siyana dzekuzvinyima zvimwe zvinhu, kusanganisira kutsanya.

Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.”

ChiHeb., “anozadzwa ruoko.”

Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”

Kana kuti “ndichamuuraya.”

Kana kuti “muyananisire mweya yenyu.”

Kana kuti “nemweya uri mariri.”

Kana kuti “Hapana mweya unofanira.”

Kana kuti “mweya wenyama.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “mweya wenyama.”

ChiHeb., “kuti aifukure.”

ChiHeb., “Iko kusapfeka kwababa vako.”

ChiHeb., “Usafumura kusapfeka kwemunin’ina wababa vako.”

ChiHeb., “iko kusapfeka kwemukoma kana munin’ina wako.”

Kana kuti “itsika dzinonyadzisa.”

Kana kuti “wemuvakidzani wako; weshamwari yako.”

Kana kuti “vabayirwe.”

Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”

ChiHeb., “kutya.”

Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Kana kuti “vanotambura.”

Kureva, kutaura mashoko ekusvibisa zita remumwe munhu.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Haufaniri kungosiya mumwe wako achifa wakatarisa.”

ChiHeb., “sechikanda chawo chepamberi.”

ChiHeb., “Hauna kuchecheudzwa.”

Kana kuti “Musadimburira; Musagera.”

Kana kuti “mweya ukafa.”

ChiHeb., “kutya.”

Kana kuti “chiyero chakarurama chezvinhu zvakaoma.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “chiyero chakarurama chezvinhu zvakaita mvura mvura.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “ndichamuuraya.”

Kana kuti “Ndichauraya munhu iyeye.”

Kana kuti “ndichauraya mweya iwoyo.”

ChiHeb., “ropa rake riri pamusoro pake.”

ChiHeb., “afukura baba vake.”

ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Kana kuti “itsika dzinonyadzisa.”

ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Kana kuti “kuurayiwa.”

ChiHeb., “afukura hanzvadzi yake.”

Kana kuti “vanofanira kuurayiwa.”

ChiHeb., “afukura babamudiki vake.”

ChiHeb., “Afukura mukoma kana munin’ina wake.”

Kana kuti “ane mudzimu wekufembera.”

ChiHeb., “Ropa ravo riri pamusoro pavo.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “zvekudya zvaMwari,” kureva zvibayiro.

ChiHeb., “akazadzwa ruoko.”

Kana kuti “nemweya upi zvawo wakafa.” Shoko rechiHebheru riri pano rekuti ne′phesh rakabatana neshoko rechiHebheru rinoreva kuti “kufa.”

ChiHeb., “ane mhino yakatsemuka.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu akanyanya kuonda zvichikonzerwa nekurwara.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “vanofanira kuzviparadzanisa nezvinhu zvitsvene.”

Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “munhu asingabvumirwi,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.

Kana kuti “akaroorwa nemutorwa.”

Kana kuti “munhu asingabvumirwi,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.

Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Hini yakanga yakaenzana nemarita 3,67. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “vanotambura.”

Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.” “Kuzvirwadzisa” kunowanzonzwisiswa sekunoreva nzira dzakasiyana-siyana dzekuzvinyima zvimwe zvinhu, kusanganisira kutsanya.

Dzimwe shanduro dzinoti, “asingatsanyi.”

Kana kuti “achaurayiwa.”

Kana kuti “mucharwadzisa mweya yenyu.”

Kana kuti “yemubani.”

Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “zvichiyeuchidza nezvechingwa chabviswa semupiro.”

Kureva, zita rekuti Jehovha, sezvinoratidzwa muvhesi 15 ne16.

Kureva, mukomana wacho.

Kana kuti “akauraya mweya wemunhu.”

Kana kuti “Uye munhu anorova mweya wemhuka ouuraya.”

Kana kuti “mweya uchatsiva mweya.”

ChiHeb., “nevanakomana.”

ChiHeb., “nevanakomana.”

ChiHeb., “kutya.”

ChiHeb., “Ndichatendeuka, ndokutarisai.”

Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “ichachengeta sabata.”

Kana kuti “hwemweya.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Homeri uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Gera rainge rakaenzana nemagiramu 0,57. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe