EKSODHO
1 Aya ndiwo mazita evanakomana vaIsraeri vakauya kuIjipiti naJakobho, emurume mumwe nemumwe akauya neimba yake:+ 2 Rubheni, Simiyoni, Revhi, naJudha;+ 3 Isakari, Zebhuroni, naBhenjamini; 4 Dhani naNaftari; Gadhi naAsheri.+ 5 Uye vese vakaberekwa naJakobho* vaiva 70,* asi Josefa akanga atova kuIjipiti.+ 6 Josefa akazofa,+ uye vanakomana vababa vake vese nechizvarwa ichocho chese vakazofawo. 7 Uye vaIsraeri* vakaberekana, vakatanga kuwanda, vakaramba vachiwedzera zvikuru, uye vachiva nesimba kwazvo, zvekuti vakazadza nyika yacho.+
8 Nekufamba kwenguva muIjipiti makazomuka mumwe mambo mutsva akanga asingazivi Josefa. 9 Saka akati kuvanhu vake: “Onai! VaIsraeri vawanda uye vava nesimba kutipfuura.+ 10 Ngativarongerei zano. Tikasadaro vacharamba vachiwedzera, uye kana pakamuka hondo, vachabatana nevavengi vedu votirwisa vobva vabuda munyika ino.”
11 Saka vakagadza vakuru vaidzvinyirira vaIsraeri vachivaitisa basa rekumanikidzwa rairema zvikuru,+ uye vakavakira Farao maguta ePitomu neRamusesi+ aaichengetera zvekudya nezvimwewo zvinhu. 12 Asi pavairamba vachivadzvinyirira, vaibva vatonyanyawo kuwanda vachiramba vachipararira, zvekuti vaIjipiti vakanga vava kutya vaIsraeri zvikuru.+ 13 Saka vaIjipiti vakamanikidza vaIsraeri kuti vave varanda vachivaitira utsinye.+ 14 Vakaita kuti upenyu hwavo huome nekuvaitisa basa rakaoma rekukanya dhaka nekuforoma zvidhinha uye mabasa emarudzi ese emuminda. Vaivafondotsa zveutsinye nemabasa ese euranda.+
15 Mambo weIjipiti akazotaura navananyamukuta vechiHebheru, mumwe ainzi Shifra uye mumwe wacho ainzi Pua, 16 achiti: “Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru kusununguka,+ mukaona vagara pachigaro chekusunungukira, munofanira kuuraya mwana wacho kana ari mukomana; asi kana ari musikana, musamuuraya.” 17 Asi vananyamukuta vacho vaitya Mwari wechokwadi saka havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti. Pane kudaro, vaisiya vana vakomana vari vapenyu.+ 18 Nekufamba kwenguva mambo weIjipiti akazoshevedza vananyamukuta vacho akati kwavari: “Makasiyirei vana vakomana vari vapenyu?” 19 Vananyamukuta vakati kuna Farao: “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana nevakadzi vechiIjipiti. Vakasimba zvekuti nyamukuta anozosara osvika vatosununguka.”
20 Saka Mwari akaitira vananyamukuta vacho zvakanaka uye vanhu vakaramba vachiwanda, vachiva nesimba kwazvo. 21 Uye akazoita kuti vananyamukuta vacho vavewo nemhuri dzavo, nekuti vakanga varatidza kutya Mwari wechokwadi. 22 Farao akazorayira vanhu vake vese, achiti: “Munofanira kukanda vana vakomana vechiHebheru vese vanenge vachangoberekwa muRwizi rwaNire, asi siyai vana vasikana vese vari vapenyu.”+
2 Mumazuva iwayo, mumwe murume weimba yaRevhi akaroora mwanasikana wedzinza raRevhi.+ 2 Uye mukadzi wacho akava nepamuviri, akabereka mwanakomana. Paakaona kunaka kwaakanga akaita, akamuvanza kwemwedzi mitatu.+ 3 Paakanga asingachakwanisi kumuvanza,+ akatora tswanda* yenhokwe, akainama netara,* uye akaisa mwana wacho mukati, akaiisa pakati petsanga dzaiva kumahombekombe kweRwizi rwaNire. 4 Asi hanzvadzi yake+ yakamira nechekure kuti ione zvaizoitika kwaari.
5 Mwanasikana waFarao paakadzika kuna Nire kunogeza, vashandikadzi vake vaifamba vachitevedza Nire. Akaona tswanda yacho iri pakati petsanga. Akabva atuma murandasikana wake kuti aitore.+ 6 Paakaivhura, akaona muine mwana mukomana, uye mwana wacho aichema. Akasiririswa naye, asi akati: “Mwana wevaHebheru uyu.” 7 Hanzvadzi yake yakabva yati kumwanasikana waFarao: “Ndiende ndinokushevedzerai mukadzi wechiHebheru anoyamwisa kuti akurererei mwana wacho here?” 8 Mwanasikana waFarao akati kwaari: “Enda!” Musikana wacho akabva aenda akanoshevedza amai vemwana wacho.+ 9 Mwanasikana waFarao akabva ati kwavari: “Enda nemwana uyu undirerere, uye ndichakubhadhara.” Saka mukadzi wacho akatora mwana wacho, akanomurera. 10 Mwana wacho paakanga akura, mukadzi wacho akaenda naye kumwanasikana waFarao, uye akava mwanakomana wake.+ Akamutumidza kuti Mozisi* uye akati: “Nekuti ndakamunyurura mumvura.”+
11 Rimwe zuva Mozisi paakanga ava munhu mukuru,* akabuda kuti anoona basa rinorema raiitwa nehama dzake,+ ndokuona mumwe muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. 12 Saka akatarisa-tarisa uye paakaona kusina munhu, akauraya muIjipiti wacho, ndokumuviga mujecha.+
13 Asi mangwana acho akabudazve, akaona varume vaviri vechiHebheru vachirwa. Saka akati kune akanga akanganisa: “Uri kuroverei mumwe wako?”+ 14 Iye akabva ati: “Ndiani akakugadza kuti uve muchinda uye mutongi wedu? Uri kuda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya here?”+ Mozisi akatanga kutya akati: “Chokwadi nyaya iya yazivikanwa!”
15 Farao akabva azvinzwa, uye akaedza kuuraya Mozisi; asi Mozisi akatiza Farao akaenda kunyika yeMidhiyani,+ uye akasvikogara pasi pedyo netsime. 16 Zvino mupristi weMidhiyani+ akanga aine vanasikana vanomwe, uye vakauya kuzochera mvura nekuzadza zvinwiro kuti vanwise makwai ababa vavo. 17 Asi vafudzi vakauya vakavadzinga sezvavaigara vachiita. Mozisi akabva asimuka akabatsira* vakadzi vacho, uye akanwisa makwai avo. 18 Pavakadzoka kumba, baba vavo Reueri*+ vakati: “Sei nhasi makurumidza kudzoka?” 19 Vakapindura kuti: “Mumwe murume wechiIjipiti+ atinunura pavafudzi, uye atoticherera mvura nekunwisa makwai.” 20 Akati kuvanasikana vake: “Saka ari kupi? Mamusiyirei? Mushevedzei tidye naye.” 21 Pashure paizvozvo Mozisi akabvuma kugara nemurume wacho, uye murume wacho akamupa mwanasikana wake Zipora+ kuti ave mudzimai wake. 22 Akazobereka mwanakomana, akamutumidza kuti Geshomu,*+ nekuti akati, “Ndava kugara mune imwe nyika ndiri mutorwa.”+
23 Pashure penguva yakareba* mambo weIjipiti akazofa,+ asi vaIsraeri vakaramba vachigomera nemhaka yeuranda uye vachinyunyuta, uye kuchema kwavo nemhaka yeuranda kwakaramba kuchikwira kuna Mwari wechokwadi.+ 24 Mwari akazonzwa kugomera kwavo,+ uye Mwari akayeuka sungano yake naAbrahamu, Isaka, naJakobho.+ 25 Saka Mwari akatarisa vaIsraeri; uye Mwari akavarangarira.
3 Mozisi akava mufudzi wemakwai atezvara vake Jetro,+ mupristi weMidhiyani. Paakanga achitungamirira makwai akananga kumavirira kwerenje, akazosvika kugomo raMwari wechokwadi, reHorebhi.+ 2 Ngirozi yaJehovha yakabva yazviratidza kwaari iri murimi remoto pakati pegwenzi reminzwa.+ Paakaramba akatarisa, akaona kuti gwenzi racho reminzwa raibvira, asi rakanga risingatsvi. 3 Saka Mozisi akati: “Regai ndinoongorora chishamiso chandiri kuona ichi, kuti sei gwenzi racho risiri kutsva.” 4 Jehovha paakaona kuti aenda kunoona, akabva amushevedza ari pakati pegwenzi akati: “Mozisi! Mozisi!” iye akati: “Ndiri pano.” 5 Akabva ati: “Usaramba uchiswedera. Bvisa shangu dzako, nekuti nzvimbo yaumire itsvene.”
6 Akaenderera mberi achiti: “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbrahamu,+ Mwari waIsaka,+ naMwari waJakobho.”+ Mozisi akabva avanza chiso chake, nekuti aitya kutarisa Mwari wechokwadi. 7 Jehovha akatizve: “Ndaona zvechokwadi kuti vanhu vangu vari kutambudzika muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nemhaka yevaya vanovamanikidza kushanda; ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.+ 8 Ndichaburuka kunovanunura pamaoko evaIjipiti+ uye kunovabudisa munyika iyoyo, ndovaendesa kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera uchi nemukaka,+ kunharaunda yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi.+ 9 Saka chiona! Kuchema kwevaIsraeri kwasvika kwandiri, uyewo ndaona utsinye hwavari kuitirwa nevaIjipiti vachidzvinyirirwa.+ 10 Iye zvino chiuya ndikutume kuna Farao, ubudise vanhu vangu, ivo vaIsraeri, muIjipiti.”+
11 Asi Mozisi akati kuna Mwari wechokwadi: “Ndiri aniwo zvangu kuti ndiende kuna Farao uye kuti ndinobudisa vaIsraeri muIjipiti?” 12 Iye akati: “Ndichava newe,+ uye ichi ndicho chiratidzo chekuti uzive kuti ndini ndakutuma: Kana wabudisa vanhu vacho muIjipiti, muchanamata* Mwari wechokwadi muri mugomo rino.”+
13 Asi Mozisi akati kuna Mwari wechokwadi: “Ngatitii ndasvika kuvaIsraeri ndoti kwavari, ‘Mwari wemadzitateguru enyu andituma kwamuri,’ ivo vobva vati kwandiri, ‘Anonzi ani?’+ Ndinofanira kuvapindura kuti chii?” 14 Mwari akabva ati kuna Mozisi: “Ndichava Zvandinenge Ndasarudza* Kuva.”*+ Akawedzera kuti: “Izvi ndizvo zvaunofanira kuudza vaIsraeri, ‘Ndichava andituma kwamuri.’”+ 15 Mwari akabva atizve kuna Mozisi:
“Izvi ndizvo zvaunofanira kuudza vaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wemadzitateguru enyu, Mwari waAbrahamu,+ Mwari waIsaka,+ naMwari waJakobho,+ andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nekusingaperi,+ uye ndiro randichayeukwa naro kwezvizvarwa nezvizvarwa. 16 Chienda unounganidza vakuru vaIsraeri, uti kwavari, ‘Jehovha Mwari wemadzitateguru enyu azviratidza kwandiri, Mwari waAbrahamu, Isaka, naJakobho, uye ati: “Ndanyatsoona zviri kuitika kwamuri+ uye zvamuri kuitirwa muIjipiti. 17 Saka ndiri kukuvimbisai kuti ndichakubvisai pakutambudzwa+ nevaIjipiti ndokuendesai kunyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori,+ vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ nyika inoyerera uchi nemukaka.”’+
18 “Vachateerera inzwi rako,+ uye muchaenda kuna mambo weIjipiti, iwe nevakuru vaIsraeri, moti kwaari: ‘Jehovha Mwari wevaHebheru+ akataura nesu. Saka tinokumbirawo kuenda rwendo rwemazuva matatu kurenje kuti tinopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wedu.’+ 19 Asi ini ndinonyatsoziva kuti mambo weIjipiti haazokubvumirii kuenda, kunze kwekunge amanikidzwa neruoko rune simba.+ 20 Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndorova Ijipiti nemabasa angu ese anoshamisa andichaita imomo, uye iye achabva akuregai muchienda.+ 21 Uye ndichaita kuti vanhu ava vanzwirwe nyasha nevaIjipiti, zvekuti pamunoenda, hamuzoendi muchingova maoko chete.+ 22 Mukadzi mumwe nemumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nemukadzi ari kugara mumba make zvinhu zvesirivha nezvegoridhe, pamwe chete nezvipfeko, uye muchazvipfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu; uye muchatuta zvinhu zvevaIjipiti.”+
4 Asi Mozisi akapindura kuti: “Ko kana vakasabvuma zvandichataura, vorega kuteerera inzwi rangu?+ Nekuti vachati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri.’” 2 Jehovha akabva ati kwaari: “Chii icho chiri muruoko rwako?” Iye akapindura kuti: “Itsvimbo.” 3 Iye akati: “Ikande pasi.” Saka akaikanda pasi, ikava nyoka;+ uye Mozisi akaitiza. 4 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Tambanudza ruoko rwako uibate nekumuswe.” Saka akatambanudza ruoko rwake akaibata, ikabva yava tsvimbo muruoko rwake. 5 Mwari akabva ati: “Izvi zvichaita kuti vatende kuti Jehovha Mwari wemadzitateguru avo, Mwari waAbrahamu, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho,+ akazviratidza kwauri.”+
6 Jehovha akatizve kwaari: “Ndapota, isa ruoko rwako munguo yako nechepachipfuva.” Saka akaisa ruoko rwake munguo yake nechepachipfuva. Paakabudisa ruoko rwake, akaona rwazara maperembudzi akaita sechando!+ 7 Akabva ati: “Dzorera ruoko rwako munguo yako nechepachipfuva.” Saka akadzorera ruoko rwake munguo yake. Paakarubudisa munguo yake, rwakanga rwaita seimwe nyama yake yese! 8 Iye akati: “Kana vasingazobvumi kana kuteerera paunoita chiratidzo chekutanga, vachateerera paunoita chiratidzo chechipiri.+ 9 Kunyange kana vakasabvuma zviratidzo zviviri izvi uye vakasakuteerera, uchachera mvura muRwizi rwaNire woidira pasi pakaoma, uye mvura yauchatora muna Nire ichava ropa kana yava pasi pakaoma.”+
10 Mozisi akabva ati kuna Jehovha: “Pamusoroi Jehovha, ini handina kumbobvira ndava munhu anogona kunyatsotaura, kubvira kare kana kubvira pamatanga kutaura nemushumiri wenyu, nekuti ndinononoka kubudisa manzwi* uye rurimi rwangu runorema.”+ 11 Jehovha akati kwaari: “Ndiani akaita muromo wemunhu, kana kuti anoita kuti ave mbeveve, matsi, aone zvakanaka kana kuti ave bofu? Handisi ini Jehovha here? 12 Saka chienda, uye ini ndichava newe paunenge uchitaura,* uye ndichakudzidzisa zvaunofanira kutaura.”+ 13 Asi iye akati: “Pamusoroi Jehovha, tumai henyu chero mumwe wamunoda kutuma.” 14 Jehovha akabva atsamwira Mozisi kwazvo, akati: “Ko mukoma wako Aroni+ muRevhi haako here? Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka chaizvo. Uye atova munzira kuuya kuzokuchingura. Paachakuona, mwoyo wake uchafara.+ 15 Saka unofanira kutaura naye woisa mashoko acho mumuromo make,+ uye ndichava nemi pamunenge muchitaura,+ uye ndichakudzidzisai zvekuita. 16 Achataura nevanhu achikumiririra, uye achava mutauriri wako, uye iwe uchava saMwari kwaari.*+ 17 Uye uchaenda netsvimbo iyi iri muruoko rwako wonoita zviratidzo nayo.”+
18 Saka Mozisi akadzokera kuna Jetro tezvara vake,+ akati kwavari: “Regai ndichienda, ndidzokere kuhama dzangu kuIjipiti kuti ndinoona kana vachiri vapenyu.” Jetro akati kuna Mozisi: “Enda zvako; ufambe zvakanaka.” 19 Jehovha akazoti kuna Mozisi ari kuMidhiyani: “Enda, dzokera kuIjipiti, nekuti varume vese vakanga vachida kukuuraya* vakafa.”+
20 Mozisi akabva atora mudzimai wake nevanakomana vake, akavakwidza padhongi, akapinda munzira akananga kunyika yeIjipiti. Mozisi akaendawo netsvimbo yaMwari wechokwadi iri muruoko rwake. 21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kana wadzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvese zvandakakupa simba rekuita pamberi paFarao.+ Asi ini ndichamurega achiomesa mwoyo,+ uye haazoregi vanhu vachienda.+ 22 Unofanira kuti kuna Farao, ‘Jehovha ari kuti: “Israeri ndiye mwanakomana wangu, dangwe rangu.+ 23 Ndinoti kwauri, Rega mwanakomana wangu aende, kuti anondishumira. Asi kana ukasamubvumira kuenda, ndichauraya mwanakomana wako, dangwe rako.”’”+
24 Pavakanga vari munzira vava panzvimbo yekurara, Jehovha+ akasangana naye uye aida kumuuraya.+ 25 Zipora+ akazotora dombo rakapinza* akachecheudza mwanakomana wake, uye akaita kuti ganda racho raakanga acheka rigunzve tsoka dzake,* akati: “Nekuti muri muroori* weropa kwandiri.” 26 Saka akamusiya. Zipora akabva ati, “muroori weropa,” nekuda kwekuchecheudzwa kwacho.
27 Jehovha akabva ati kuna Aroni: “Enda kurenje unochingura Mozisi.”+ Saka akaenda, akasangana naye kugomo raMwari wechokwadi,+ akamukwazisa nekumutsvoda. 28 Uye Mozisi akaudza Aroni mashoko ese aJehovha, uyo akanga amutuma,+ nezviratidzo zvese zvaakanga amurayira kuti aite.+ 29 Mozisi naAroni vakazoenda, vakanounganidza vakuru vese vevaIsraeri.+ 30 Aroni akabva avaudza mashoko ese akanga audzwa Mozisi naJehovha, uye akaita zviratidzo+ vanhu vakatarisa. 31 Vanhu vakabva vatenda.+ Pavakanzwa kuti Jehovha akanga arangarira vaIsraeri+ uye kuti akanga aona kutambudzika kwavo,+ vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo.
5 Pashure paizvozvo Mozisi naAroni vakapinda maiva naFarao vakati kwaari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Rega vanhu vangu vaende kurenje, vanondiitira mutambo.’” 2 Asi Farao akati: “Jehovha ndianiko,+ kuti nditeerere inzwi rake ndorega Israeri achienda?+ Jehovha wacho handitombomuzivi, uyezve, handisi kuzorega Israeri achienda.”+ 3 Asi vakati: “Mwari wevaHebheru akataura nesu. Tiri kudawo kuenda rwendo rwemazuva matatu kurenje, kuti tinopa Jehovha Mwari wedu zvibayiro;+ tikasadaro anotirova nedenda kana kuti nebakatwa.” 4 Mambo weIjipiti akapindura kuti: “Mozisi naAroni, muri kubvisirei vanhu pabasa ravo? Dzokerai munoshanda uko!”*+ 5 Farao akaenderera mberi achiti: “Onai kuwanda kwaita vanhu munyika, asi muri kuda kuti vatombozorora havo pabasa ravo.”
6 Zuva iroro chairo, Farao akarayira vaya vaishandisa vanhu nevatungamiriri vavo, achiti: 7 “Musaramba muchipa vanhu uswa hwekugadzirisa zvidhinha.+ Vasiyei vanozvitsvagira vega. 8 Asi hamufaniri kuderedza mugwazo wavo wezvidhinha. Musambouderedza, nekuti vari kutoita zvavo zvekutamba.* Ndokusaka vari kuchema vachiti, ‘Tinoda kuenda, tinoda kunopa zvibayiro kuna Mwari wedu!’ 9 Vafondotsei uye itai kuti vagare vari pabasa kuti varege kuteerera mashoko enhema.”
10 Saka vaya vaishandisa vanhu+ nevatungamiriri vavo vakabuda, vakati kuvanhu vacho: “Zvanzi naFarao, ‘Handicharambi ndichikupai uswa. 11 Endai munotsvaga mega uswa chero kwamunenge mahuwana, asi basa renyu harisi kuzoderedzwa.’” 12 Vanhu vakabva vapararira nenyika yese yeIjipiti vachitsvaga mashanga panzvimbo peuswa. 13 Uye vaya vaivashandisa vakaramba vachivaudza kuti: “Munofanira kupedza basa renyu repazuva, sezvamaiita pamaipiwa uswa.” 14 Uyewo vatungamiriri vebasa vevaIsraeri, vaya vakanga vagadzwa nevakuru vebasa vaFarao, vairohwa.+ Vaivabvunza kuti: “Sei musina kupedza mugwazo wenyu wezvidhinha wamaisipedza? Nezuro hamuna kupedza uye nhasi hamunazve kupedza.”
15 Saka vatungamiriri vebasa vevaIsraeri vakapinda vakatanga kugunun’una kuna Farao vachiti: “Sei muri kuitira varanda venyu zvakadai? 16 Varanda venyu havasi kupiwa uswa asi ivo vari kutiti, ‘Foromai zvidhinha!’ Varanda venyu vari kurohwa, asi mhosva iri yevanhu venyu.” 17 Asi iye akati: “Muri kuita zvekutamba,* kutamba chaiko!*+ Ndokusaka muri kuti, ‘Tinoda kuenda, tinoda kunopa zvibayiro kuna Jehovha.’+ 18 Saka chiendai, dzokerai kubasa! Hapana uswa hwamuri kuzopiwa, asi munofanira kusvitsa mugwazo wenyu wezvidhinha.”
19 Vatungamiriri vebasa vevaIsraeri vakaona kuti vakanga vapinda mutsekwende pazvakanzi: “Hamutombofaniri kuderedza mugwazo wezvidhinha zvamunofanira kuforoma pazuva.” 20 Pashure paizvozvo vakasangana naMozisi naAroni, avo vakanga vakavamirira pavaibva kuna Farao. 21 Vakabva vangoti kwavari: “Jehovha ngaaone zvamaita uye ngaakutongei, sezvo maita kuti Farao nevashandi vake vativenge uye maisa bakatwa muruoko rwavo kuti vatiuraye.”+ 22 Mozisi akabva atendeukira kuna Jehovha akati: “Jehovha, nei marwadzisa vanhu ava? Makanditumirei? 23 Kubvira pandakapinda ndikamira pamberi paFarao kunotaura ndichishandisa zita renyu,+ abva atowedzera kuitira vanhu ava zvakaipa,+ uye hamuna kana kumbonunura vanhu venyu.”+
6 Saka Jehovha akati kuna Mozisi: “Rega uone zvandichaitira Farao.+ Ruoko rune simba ruchamumanikidza kuti avarege vachienda, uye ruoko rune simba ruchamumanikidza kuti avadzinge munyika yake.”+
2 Mwari akabva ati kuna Mozisi: “Ndini Jehovha. 3 Ndaimbozviratidza kuna Abrahamu, Isaka, naJakobho saMwari Wemasimbaose,+ asi handina kuita kuti vandizive+ nezita rangu rekuti Jehovha.+ 4 Ndakaitawo sungano navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavaigara vari vatorwa.+ 5 Ini pachangu ndanzwa kugomera kwevaIsraeri, vari kuitwa varanda nevaIjipiti, uye ndayeuka sungano yangu.+
6 “Saka udza vaIsraeri kuti: ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubvisai pamabasa anorema evaIjipiti ndokununurai pauranda,+ uye ndichakusunungurai neruoko rwakatambanudzwa* uye nekuvapa mitongo mikuru.+ 7 Uye ndichakutorai kuti muve vanhu vangu, ndova Mwari wenyu,+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu ari kukubvisai pamabasa anorema evaIjipiti. 8 Uye ndichakupinzai munyika yandakapika* kuti ndichapa Abrahamu, Isaka, naJakobho; uye ndichakupai kuti ive yenyu.+ Ndini Jehovha.’”+
9 Mozisi akazosvitsa mashoko aya kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nekuti vakanga vakaora mwoyo uye varwadziwa neuranda.+
10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 11 “Pinda muna Farao, mambo weIjipiti, umuudze kuti anofanira kurega vaIsraeri vachibuda munyika yake.” 12 Asi Mozisi akapindura Jehovha achiti: “Onai! VaIsraeri havana kunditeerera;+ Farao angazonditeerera sei, ini ndisingagoni kunyatsotaura?”*+ 13 Asi Jehovha akaudzazve Mozisi naAroni zvavaifanira kuudza vaIsraeri uye Farao mambo weIjipiti, kuti vabudise vaIsraeri munyika yeIjipiti.
14 Ava ndivo vakuru veimba yemadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsraeri,+ vaiva Hanoki, Paru, Hezroni, naKami.+ Idzi ndidzo mhuri dzaRubheni.
15 Vanakomana vaSimiyoni vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari, naShauri, mwanakomana wemukadzi wechiKenani.+ Idzi ndidzo mhuri dzaSimiyoni.
16 Aya ndiwo mazita evanakomana vaRevhi,+ maererano nemadzinza emhuri dzavo: Geshoni, Kohati, naMerari.+ Revhi akararama makore 137.
17 Vanakomana vaGeshoni vaiva Ribhini naShimei, maererano nemhuri dzavo.+
18 Vanakomana vaKohati vaiva Amramu, Izihari, Hebroni, naUzieri.+ Kohati akararama makore 133.
19 Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi.
Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi, maererano nemadzinza emhuri dzavo.+
20 Amramu akatora Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake kuti ave mudzimai wake.+ Akamuberekera Aroni naMozisi.+ Amramu akararama makore 137.
21 Vanakomana vaIzihari vaiva Kora,+ Nefegi, naZikri.
22 Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani,+ naSitri.
23 Aroni akatora Erishebha, mwanasikana waAminadhabhi, hanzvadzi yaNashoni,+ kuti ave mudzimai wake. Akamuberekera Nadhabhi, Abhihu, Eriyezari, naItamari.+
24 Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana, naAbhiyasafi.+ Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaKora.+
25 Eriyezari,+ mwanakomana waAroni akatora mumwe wevanasikana vaPutieri kuti ave mudzimai wake. Akamuberekera Finiyasi.+
Ava ndivo vakuru vedzimba dzemadzibaba evaRevhi, maererano nemhuri dzavo.+
26 Ava ndivo Aroni naMozisi vakanzi naJehovha: “Budisai vaIsraeri munyika yeIjipiti, vari mumapoka akarongwa.”*+ 27 Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vaIsraeri muIjipiti. Ndivo vacho Mozisi naAroni.+
28 Zuva iroro Jehovha paakataura naMozisi ari munyika yeIjipiti, 29 Jehovha akaudza Mozisi kuti: “Ndini Jehovha. Udza Farao, mambo weIjipiti, zvese zvandiri kukutaurira.” 30 Mozisi akabva ati pamberi paJehovha: “Onai! Handigoni kunyatsotaura,* saka Farao angazonditeerera sei?”+
7 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ona, ndakuita kuti uve saMwari* kuna Farao, uye Aroni mukoma wako achava muprofita wako.+ 2 Unofanira kudzokorora zvese zvandichakuudza, uye Aroni mukoma wako achataura naFarao, uye acharega vaIsraeri vachibuda munyika yake. 3 Asi ini, ndicharega mwoyo waFarao uchioma,+ uye ndichaita kuti zviratidzo nezvishamiso zvangu zviwande munyika yeIjipiti.+ 4 Asi Farao haazokuteererei, uye ndicharwisa Ijipiti neruoko rwangu, ndobudisa mauto angu, vanhu vangu, ivo vaIsraeri, munyika yeIjipiti ndichishandisa mitongo mikuru.+ 5 Uye vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha+ pandichatambanudzira Ijipiti ruoko rwangu, ndobudisa vaIsraeri pakati pavo.” 6 Mozisi naAroni vakaita zvavakanga vaudzwa naJehovha; vakaita izvozvo chaizvo. 7 Mozisi akanga ava nemakore 80 uye Aroni akanga ava nemakore 83 pavakataura naFarao.+
8 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni: 9 “Kana Farao akati kwamuri, ‘Itai chishamiso,’ ibva wati kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFarao.’ Iyo ichava nyoka huru.”+ 10 Saka Mozisi naAroni vakapinda maiva naFarao vakaita zvavakanga vaudzwa naJehovha chaizvo. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFarao nevashandi vake, ikava nyoka huru. 11 Zvisinei, Farao akashevedzawo vanhu vakachenjera nen’anga, uye vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti+ vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo.+ 12 Mumwe nemumwe wavo akakanda tsvimbo yake pasi, dzikava nyoka huru; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo. 13 Kunyange zvakadaro Farao akaomesa mwoyo,+ uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
14 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Mwoyo waFarao wakaoma.+ Aramba kuti vanhu vaende. 15 Enda kuna Farao mangwanani. Iye achange achienda kurwizi. Unofanira kumira pamhenderekedzo yeRwizi rwaNire kuti usangane naye; uye uende uine tsvimbo muruoko rwako, iya yakachinja kuva nyoka.+ 16 Uye unofanira kuti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wevaHebheru andituma kwauri,+ achiti: “Rega vanhu vangu vaende kurenje kuti vanondishumira,” asi hausi kuda kuteerera. 17 Jehovha ari kuti: “Izvi ndizvo zvichaita kuti uzive kuti ndini Jehovha.+ Ndiri kurova mvura iri muRwizi rwaNire netsvimbo iri muruoko rwangu, uye ichachinja kuva ropa. 18 Hove dziri muna Nire dzichafa, uye Nire achanhuhwa, uye vaIjipiti vachatadza kunwa mvura yemuna Nire.”’”
19 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Udza Aroni kuti, ‘Tora tsvimbo yako utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti,+ iri munzizi, iri mumigero,* iri munzvimbo dzine machakwi,+ uye iri mumadhamu, kuti ive ropa.’ Munyika yese yeIjipiti muchava neropa, kunyange mumidziyo yese yakavezwa nemuti uye yematombo.” 20 Mozisi naAroni vakabva vangoita zvavakanga varayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo akarova mvura yakanga iri muRwizi rwaNire Farao nevashandi vake vakatarisa, mvura yese yaiva murwizi ikachinja kuva ropa.+ 21 Hove dzaiva murwizi rwacho dzakafa,+ rwizi rukatanga kunhuhwa, uye vaIjipiti havana kukwanisa kunwa mvura yemuna Nire,+ uye nyika yese yeIjipiti rakanga rangova ropa.
22 Kunyange zvakadaro, vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo,+ zvekuti mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.+ 23 Farao akabva adzokera kumba kwake, uye haana zvakare kumboita basa nazvo. 24 Saka vaIjipiti vese vaichera kumativi ese aNire kuti vawane mvura yekunwa, nekuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yemuna Nire. 25 Kwakapfuura mazuva manomwe kubvira pakarohwa Nire naJehovha.
8 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Pinda muna Farao uti kwaari, ‘Jehovha ari kuti: “Rega vanhu vangu vaende kuti vanondishumira.+ 2 Kana ukaramba uchivarambidza kuenda, ndichatambudza nyika yako yese nematatya.+ 3 Uye Rwizi rwaNire ruchazara nematatya, uye achabuda opinda mumba mako, muimba yako yekurara, pamubhedha wako, mudzimba dzevashandi vako nevanhu vako, mumaovheni ako, nemumidziyo yako yekukanyira chingwa.+ 4 Matatya achauya pauri, pavanhu vako, nepavashandi vako vese.”’”
5 Jehovha akazoti kuna Mozisi: “Udza Aroni kuti, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo pamusoro penzizi, pamusoro pemigero yaNire, nepamusoro penzvimbo dzine machakwi, uite kuti matatya abude panyika yeIjipiti.’” 6 Saka Aroni akabva atambanudzira ruoko rwake pamvura yeIjipiti, matatya akatanga kubuda, akazara panyika yeIjipiti. 7 Asi vapristi vaiita zvemashiripiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo, naivowo vakaita kuti matatya abude achiuya panyika yeIjipiti.+ 8 Farao akabva ashevedza Mozisi naAroni ndokuti: “Tetererai Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nekuvanhu vangu,+ nekuti iye zvino ndava kuda kurega vanhu vachienda kuti vanopa zvibayiro kuna Jehovha.” 9 Mozisi akabva ati kuna Farao: “Zviri kwamuri kuti munoda kuti nditeterere riini kuti matatya abviswe kwamuri, kuvashandi venyu, kuvanhu venyu, nemudzimba dzenyu. Achasara muRwizi rwaNire chete.” 10 Iye akati: “Mangwana.” Saka akati: “Zvichaitwa sezvamataura, kuti muzive kuti hakuna mumwezve akaita saJehovha Mwari wedu.+ 11 Matatya achabva kwamuri, mudzimba dzenyu, pavashandi venyu, nepavanhu venyu. Achangosara muna Nire chete.”+
12 Saka Mozisi naAroni vakabva pamberi paFarao, uye Mozisi akateterera Jehovha nezvematatya aakanga aunza kuna Farao.+ 13 Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi, matatya akatanga kufira mudzimba, muzvivanze, nemuminda. 14 Vaiaunganidza, mirwi nemirwi, uye nyika yacho yakatanga kunhuhwa. 15 Farao paakaona kuti dambudziko racho rakanga rapfuura, akaomesa mwoyo wake+ uye akaramba kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
16 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Udza Aroni kuti, ‘Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva repanyika, uye richava unyunyu* munyika yese yeIjipiti.’” 17 Vakabva vaita izvi. Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakanga rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva repanyika, unyunyu hukauya pavanhu nepamhuka. Guruva rese repanyika rakava unyunyu munyika yese yeIjipiti.+ 18 Vapristi vaiita zvemashiripiti vakaedzawo kushandisa mashiripiti avo kuti vaunze unyunyu,+ asi vaisakwanisa. Uye unyunyu hwakauya pavanhu nepamhuka. 19 Saka vapristi vaiita zvemashiripiti vakati kuna Farao: “Uyu munwe waMwari!”+ Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, uye haana kuteerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
20 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Fumomuka unomira pamberi paFarao. Iye achange achienda kurwizi. Unofanira kuti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: “Rega vanhu vangu vaende kuti vanondishumira. 21 Asi kana ukasarega vanhu vangu vachienda, ndichakutumira mbuo,* iwe, vashandi vako, nevanhu vako nemudzimba dzako; uye dzimba dzeIjipiti dzichazara nembuo, uye dzichazara kunyange pasi pavanenge vakatsika.* 22 Zuva iroro ndichaita kuti kuGosheni, kunogara vanhu vangu, kusiyane nedzimwe nzvimbo. Kuchange kusina mbuo,+ uye izvi zvichaita kuti uzive kuti ini, Jehovha, ndiri munyika ino.+ 23 Uye ndichaita kuti pave nemusiyano pakati pevanhu vangu nevanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.”’”
24 Jehovha akaita saizvozvo, uye mbuo dzakawandisa dzakatanga kudirana dzichipinda mumba maFarao nemudzimba dzevashandi vake nemunyika yese yeIjipiti.+ Nyika yacho yakasakadzwa nembuo.+ 25 Farao akazoshevedza Mozisi naAroni akati: “Endai munopa Mwari wenyu zvibayiro muri munyika muno.” 26 Asi Mozisi akati: “Hazvina kunaka kuti tidaro, nekuti zvatinenge tichibayira kuna Jehovha Mwari wedu zvinosemesa vaIjipiti.+ Kana vaIjipiti vakationa tichipa chibayiro chinovasemesa, vangasatitema nematombo here? 27 Tichafamba rwendo rwemazuva matatu tichienda kurenje, tozopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wedu tava ikoko sezvaakatiudza.”+
28 Farao akati: “Ndichakuregai muchienda kuti munopa Jehovha Mwari wenyu zvibayiro kurenje. Asi musanyanya kuenda kure. Chindinyengetereraiwo.”+ 29 Mozisi akabva ati: “Iye zvino ndava kubva kwamuri, ndichanoteterera Jehovha kuti mbuo dzibve kuna Farao, kuvashandi vake, nekuvanhu vake mangwana. Asi Farao ngaarege kuramba achitinyengedza* achiramba kuti vanhu vaende kunopa Jehovha zvibayiro.”+ 30 Mozisi akabva abva pamberi paFarao akateterera Jehovha.+ 31 Saka Jehovha akaita zvakataurwa naMozisi, mbuo dzikabva kuna Farao, kuvashandi vake, nekuvanhu vake. Hapana kana imwe chete yakasara. 32 Asi Farao akaomesa mwoyo wake zvakare uye haana kurega vanhu vachienda.
9 Saka Jehovha akati kuna Mozisi: “Pinda muna Farao uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wevaHebheru: “Rega vanhu vangu vaende kunondishumira.+ 2 Asi kana ukaramba kuti vaende uye ukaramba uchivatadzisa kuenda, 3 ruoko rwaJehovha+ ruchauya pazvipfuwo zvako zviri kumafuro. Denda rinoparadza+ richava pamabhiza, pamadhongi, pangamera, pamombe nepamakwai. 4 Uye Jehovha achaita kuti pave nemusiyano pakati pezvipfuwo zvaIsraeri nezvipfuwo zveIjipiti, uye hapana kana chipfuwo chimwe chete chevaIsraeri chichafa.”’”+ 5 Jehovha akataurawo kuti aizozviita riini, achiti: “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika ino.”
6 Jehovha akaita izvi mangwana acho chaiwo, uye zvipfuwo zvemarudzi ese zveIjipiti zvakatanga kufa,+ asi hapana kana chipfuwo chevaIsraeri chimwe chete chakafa. 7 Farao paakabvunza, akanzwa kuti hapana kana chipfuwo chimwe chete chevaIsraeri chakanga chafa. Kunyange zvakadaro, mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kurega vanhu vacho vachienda.+
8 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni: “Zadzai maoko enyu nechin’ai chemubisiro,* uye Mozisi anofanira kuchimwaya mudenga ari pamberi paFarao. 9 Uye chichava guruva rakatsetseka panyika yese yeIjipiti, chova mamota anoputika pavanhu nepamhuka munyika yese yeIjipiti.”
10 Saka vakatora chin’ai chemubisiro vakamira pamberi paFarao, uye Mozisi akachimwaya mudenga, chikava mamota anoputika aibuda pavanhu nepamhuka. 11 Vapristi vaiita zvemashiripiti vakatadza kumira pamberi paMozisi nekuda kwemamota, nekuti mamota akanga abuda pavapristi vaiita zvemashiripiti nepavaIjipiti vese.+ 12 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvateerera, sezvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha.+
13 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Fumomuka umire pamberi paFarao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wevaHebheru: “Rega vanhu vangu vaende kuti vanondishumira. 14 Nekuti iye zvino ndava kuunza matambudziko angu ese pauri, nepavashandi vako, uye pavanhu vako, kuti uzive kuti hakuna mumwe akafanana neni panyika yese.+ 15 Nekuti kutaura kuno ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndakakurova nedenda rinoparadza, iwe nevanhu vako, uye mungadai musisipo* panyika. 16 Asi ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.+ 17 Uchiri kuzvikudza kuvanhu vangu uchivarambidza kuenda here? 18 Zvino mangwana senguva dzino ndichaita kuti kunaye chimvuramabwe chikuru kwazvo, chisati chamboitika muIjipiti kubvira pazuva rayakavambwa kusvikira zvino. 19 Saka tumira shoko kuti zvipfuwo zvako zvese zviri kumafuro nezvinhu zvako zvese zviri kunze zvipinzwe mukati. Munhu wese nemhuka zvichabatwa zviri kumafuro uye zvisina kupinzwa mumba, zvichaurayiwa nechimvuramabwe.”’”
20 Mushandi wese waFarao aitya shoko raJehovha akakurumidza kuisa vashandi vake nezvipfuwo zvake mumba, 21 asi wese asina kuteerera shoko raJehovha akasiya vashandi vake nezvipfuwo zvake kumafuro.
22 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Simudza ruoko rwako kudenga, kuti chimvuramabwe chiuye panyika yese yeIjipiti,+ pavanhu nemhuka nepazvinomera zvese zvenyika yeIjipiti.”+ 23 Saka Mozisi akasimudza tsvimbo yake kudenga, uye Jehovha akaunza mabhanan’ana nechimvuramabwe, uye moto* wakadzika panyika, uye Jehovha akaramba achinayisa chimvuramabwe panyika yeIjipiti. 24 Kwaiva nechimvuramabwe, uye kwaiva nemoto waipenya mukati mechimvuramabwe. Chakanga chakakura chaizvo; kwakanga kusati kwamboitika zvakadaro munyika yacho kubvira payakatanga kugarwa nevaIjipiti serudzi.+ 25 Chimvuramabwe chacho chakarova zvinhu zvese zvaiva kunze munyika yese yeIjipiti, kubvira pavanhu kusvikira kumhuka, uye chakarova zvinomera zvese, chikaparadza miti yese yesango.+ 26 MuGosheni chete, maigara vaIsraeri, ndimo makanga musina chimvuramabwe.+
27 Saka Farao akatumira shoko kuti Mozisi naAroni vauye, akati kwavari: “Iye zvino ndabvuma kuti ndatadza. Jehovha akarurama, asi ini nevanhu vangu hatina kururama. 28 Tetererai Jehovha kuti mabhanan’ana aMwari nechimvuramabwe zvipere. Ndichabva ndakuregai muchienda, uye hamuzorambi muri muno.” 29 Saka Mozisi akati kwaari: “Pandinongobuda muguta ndichasimudza maoko angu pamberi paJehovha. Mabhanan’ana achapera uye chimvuramabwe hachizorambi chiripo, kuti muzive kuti nyika ndeyaJehovha.+ 30 Asi kana muri imi nevashandi venyu, ndinotoziva kuti kunyange ndadaro, hamusi kuzotya Jehovha Mwari.”
31 Furakisi* nebhari zvakanga zvarohwa, nekuti bhari yakanga yatumbuka uye furakisi yakanga yava kutanga kutumbuka. 32 Asi gorosi nesipereti* zvakanga zvisina kurohwa, nekuti zvakanga zvichiri kure kuti zviibve.* 33 Mozisi akabva abuda muguta achibva kuna Farao, akasimudza maoko ake pamberi paJehovha, mabhanan’ana nechimvuramabwe zvikatanga kunyarara, uye mvura yaitsvotsvoma panyika yakagasa.+ 34 Farao paakaona kuti mvura yakanga yagasa uye kuti kwakanga kusisina chimvuramabwe nemabhanan’ana, akatadza zvakare, akaomesa mwoyo wake,+ iye nevashandi vake. 35 Mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kurega vaIsraeri vachienda, sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Mozisi.+
10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Pinda muna Farao, nekuti ndarega mwoyo wake nemwoyo yevashandi vake ichioma,+ kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pamberi pake chaipo,+ 2 uye kuti uzozivisa vanakomana vako nevazukuru vako marwadzisiro andaita Ijipiti uye zviratidzo zvandaita pakati pavo;+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha.”
3 Saka Mozisi naAroni vakapinda maiva naFarao vakati kwaari: “Zvanzi naJehovha Mwari wevaHebheru, ‘Kusvikira riini uchiramba kuzviisa pasi pangu?+ Rega vanhu vangu vaende kuti vanondishumira. 4 Nekuti kana ukaramba uchitadzisa vanhu vangu kuenda, mangwana ndichaunza mhashu munyika mako. 5 Dzichafukidza nyika zvekuti ivhu richange risingaoneki. Dzichadya zvakapotswa nechimvuramabwe zvamakasara nazvo, uye dzichadya miti yenyu yese yemusango.+ 6 Dzichazara mudzimba dzenyu, mudzimba dzevashandi venyu vese, nemudzimba dzese dzeIjipiti zvekuti madzibaba enyu nemadzisekuru enyu haana kumbobvira aona zvakadai kubvira paakatanga kugara munyika ino kusvikira nhasi.’”+ Akabva atendeuka, akabuda maiva naFarao.
7 Vashandi vaFarao vakabva vati kwaari: “Murume uyu acharamba achititambudza* kusvikira riini? Regai vanhu ava vaende vanoshumira Jehovha Mwari wavo. Nanhasi hamusati mabvuma kuti Ijipiti yaparara?” 8 Saka Mozisi naAroni vakadzoswa kuna Farao, iye akati kwavari: “Chiendai munoshumira Jehovha Mwari wenyu. Asi ndivanaani vacho vari kuenda?” 9 Mozisi akabva ati: “Tichaenda nevadiki vedu, vakwegura vedu, vanakomana vedu, vanasikana vedu, makwai edu, nemombe dzedu,+ nekuti tichaitira Jehovha mutambo.”+ 10 Akati kwavari: “Kana ndikakuregai imi nevana venyu muchienda, zvechokwadi ndingati Jehovha anemi!+ Zviri pachena kuti muri kuda kuita zvakaipa. 11 Hazviiti! Varume chete ndivo vachaenda kunoshumira Jehovha, nekuti ndizvo zvamakakumbira.” Vakabva vadzingwa pamberi paFarao.
12 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Tambanudzira ruoko rwako panyika yeIjipiti kuti mhashu dziuye panyika yeIjipiti, dzidye zvinomera zvese zvenyika ino, zvese zvakasiyiwa nechimvuramabwe.” 13 Mozisi akabva atambanudzira tsvimbo yake panyika yeIjipiti, Jehovha akaita kuti mhepo yekumabvazuva ivhuvhute panyika yacho zuva iroro rese neusiku hwese. Pakwakayedza, mhepo yekumabvazuva yakaunza mhashu. 14 Uye mhashu dzakauya panyika yese yeIjipiti, dzikamhara muIjipiti yese.+ Dzakanga dzakawanda zvikuru;+ kwakanga kusati kwamboita mhashu dzakawanda kudaro, uye hakuzombovi nedzimwe dzakawanda kudaro. 15 Dzakafukidza nyika yese, nyika ikaita rima nadzo; dzakaparadza zvinomera zvese zvenyika yacho nemichero yese yemiti yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana chakasvibirira chakasiyiwa pamiti kana kuti pazvinomera zvemusango munyika yese yeIjipiti.
16 Saka Farao akakurumidza kushevedza Mozisi naAroni akati: “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye ndakutadzirai. 17 Saka ndinokumbirawo kuti mundiregerere chivi changu iye zvino chete, moteterera Jehovha Mwari wenyu kuti angondibvisirawo dambudziko iri rakaipisisa.” 18 Saka akabva* pamberi paFarao, akateterera Jehovha.+ 19 Jehovha akabva aita kuti mhepo iya ichinje, ikava mhepo ine simba yekumavirira, uye yakatakura mhashu dzacho ikadziendesa muGungwa Dzvuku. Hapana kana mhashu imwe chete yakasara muIjipiti yese. 20 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma,+ uye Farao haana kurega vaIsraeri vachienda.
21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Simudza ruoko rwako kudenga kuti panyika yeIjipiti pave nerima, rima gobvu zvekuti rinoita serichabatika.” 22 Mozisi akabva angosimudza ruoko rwake kudenga, uye pakava nerima gobvu munyika yese yeIjipiti kwemazuva matatu.+ 23 Vakanga vasingaonani, uye hakuna kana mumwe wavo akasimuka paakanga ari kwemazuva matatu; asi vaIsraeri vese vaiva nechiedza kwavaigara.+ 24 Farao akabva ashevedza Mozisi akati: “Chiendai munoshumira Jehovha.+ Makwai enyu nemombe dzenyu ndizvo chete zvichasara. Kunyange vana venyu munogona kuenda navo.” 25 Asi Mozisi akati: “Imi muchatipawo zvekunobayira* nemipiro inopiswa, uye tichanozvipa kuna Jehovha Mwari wedu.+ 26 Tichaendawo nezvipfuwo zvedu. Hapana kana chipfuwo chichabvumirwa kusara, nekuti tichashandisa zvimwe zvacho pakunamata Jehovha Mwari wedu, uye tichatozoziva zvatichapa Jehovha pakumunamata kana tasvika ikoko.” 27 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvarega kuti vaende.+ 28 Farao akati kwaari: “Ibva pano! Usaedza kudzoka pamberi pangu zvakare, nekuti kana ukangodzoka chete, uri kufa.” 29 Mozisi akabva ati: “Sekutaura kwamaita, handisi kuzoedza kudzokazve pamberi penyu.”
11 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Pasara dambudziko rimwe chete randiri kuda kuunza pana Farao nepaIjipiti. Kana ndariunza achakuregai muchienda.+ Paachakuregai muchienda, achaita zvekukudzingai chaizvo.+ 2 Saka udza vanhu kuti murume wese, uye mukadzi wese anofanira kukumbira muvakidzani wake zvinhu zvesirivha nezvinhu zvegoridhe.”+ 3 Uye Jehovha akaita kuti vanhu vacho vanzwirwe nyasha nevaIjipiti. Uyewo Mozisi pachake akanga ava kuremekedzwa zvikuru munyika yeIjipiti nevashandi vaFarao uye nevanhu vese.
4 Mozisi akabva ati: “Zvanzi naJehovha, ‘Pakati peusiku ndichafamba nepakati peIjipiti,+ 5 uye matangwe ese ari munyika yeIjipiti achafa,+ kubvira kudangwe raFarao agere pachigaro chake cheumambo kusvikira kudangwe remurandakadzi ari kukuya paguyo, nematangwe ese ezvipfuwo.+ 6 Munyika yese yeIjipiti muchava nekuchema kukuru kwazvo kusati kwamboitika uye hakuzomboitiki zvakare.+ 7 Asi kunyange imbwa chaiyo haisi kuzohukurira vaIsraeri, vanhu kana zvipfuwo, kuti muzive kuti Jehovha anogona kuita kuti pave nemusiyano pakati pevaIjipiti nevaIsraeri.’+ 8 Uye vashandi vako vese vachauya, vondigwadamira, vachiti: ‘Enda, iwe nevanhu vese vanokutevera.’+ Pashure paizvozvo ndichabva ndabuda.” Saka akabva pamberi paFarao akatsamwa kwazvo.
9 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Farao haasi kuzokuteerera,+ kuti zvishamiso zvangu zviwedzere munyika yeIjipiti.”+ 10 Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvese izvi pamberi paFarao,+ asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, zvekuti haana kurega vaIsraeri vachibuda munyika yake.+
12 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni vari munyika yeIjipiti: 2 “Mwedzi uno ndiwo uchava wekutanga pamwedzi yenyu. Ndiwo uchava wekutanga pamwedzi yegore renyu.+ 3 Taurai neungano yese yevaIsraeri, muchiti, ‘Pazuva rechi10 remwedzi uno, imba imwe neimwe inofanira kutora gwai+ maererano neimba yemadzibaba avo, imba imwe neimwe ive negwai rayo. 4 Asi kana mhuri yacho iri diki zvekusakwanisa kupedza gwai racho, inofanira kubatana nemuvakidzani wayo ari pedyo vodya pamwe chete mumba mavo maererano nekuwanda kwevanhu vacho.* Pamunenge muchironga kudya gwai racho, tangai maona kuti mumwe nemumwe achadya zvakawanda sei. 5 Gwai renyu rinofanira kunge rakanaka,+ riri gondohwe rine gore rimwe chete. Munogona kusarudza gondohwe diki kana kuti mbudzi. 6 Munofanira kurichengeta kusvikira pazuva rechi14 remwedzi uno,+ uye ungano yese yaIsraeri inofanira kuriuraya panguva yerubvunzavaeni.*+ 7 Vanofanira kutora rimwe ropa racho vorisasa pamagwatidziro* maviri nepamusoro pesuo redzimba dzavanoridyira.+
8 “‘Vanofanira kudya nyama yacho usiku uhwu.+ Vanofanira kuita zvekuigocha voidya nechingwa chisina mbiriso+ uye nemiriwo inovava.+ 9 Musatomboidya iri mbishi kana kuti yakabikwa nemvura, asi itai yekugocha, musoro pamwe chete nemazondo nezvemukati zvacho. 10 Hamufaniri kusiya imwe yacho kusvikira mangwanani, asi inosara kusvikira mangwanani muipise nemoto.+ 11 Uye munofanira kuidya makasunga mabhandi enyu,* makapfeka shangu dzenyu, makabata midonzvo yenyu mumaoko; uye munofanira kuidya muchikurumidza. Iyo iPaseka yaJehovha. 12 Nekuti ndichapfuura nemunyika yeIjipiti usiku uhwu ndouraya matangwe ese ari munyika yeIjipiti, kubvira kumunhu kusvikira kumhuka;+ uye ndichapa mutongo kuvanamwari vese veIjipiti.+ Ndini Jehovha. 13 Ropa racho richava chiratidzo padzimba dzamunenge muri; ndichaona ropa racho ndokudarikai, uye dambudziko racho harizouyi pamuri kuti rikuparadzei pandinorova nyika yeIjipiti.+
14 “‘Zuva iri richava chiyeuchidzo kwamuri, uye munofanira kuripemberera kuti rive mutambo unoitirwa Jehovha muzvizvarwa zvenyu zvese. Uyu murau uchagara uripo. 15 Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe.+ Pazuva rekutanga mubvise mukanyiwa wakavira mudzimba dzenyu, nekuti ani naani anodya zvine mbiriso kubvira pazuva rekutanga kusvikira rechinomwe, anofanira kubviswa* pakati paIsraeri. 16 Pazuva rekutanga muchaita kuungana kutsvene, uye pazuva rechinomwe muchaitazve kumwe kuungana kutsvene. Hapana basa rinofanira kuitwa pamazuva aya.+ Basa chete rinogona kuitwa nemunhu* wese nderekugadzira zvaanenge achida kudya.
17 “‘Munofanira kuchengeta Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ nekuti pazuva iri ndichabudisa mauto enyu munyika yeIjipiti. Uye munofanira kuchengeta zuva iri muzvizvarwa zvenyu zvese uye uchava murau uchagara uripo. 18 Mumwedzi wekutanga, manheru ezuva rechi14 remwedzi wacho, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kusvikira manheru ezuva rechi21 remwedzi wacho.+ 19 Hapana mukanyiwa wakavira unofanira kuva mudzimba dzenyu kwemazuva manomwe, nekuti ani naani anodya zvine mbiriso, angava mutorwa kana kuti munhu wemunyika yacho,+ munhu iyeye anofanira kubviswa* pakati peungano yaIsraeri.+ 20 Hamufaniri kudya chinhu chese chine mbiriso. Mudzimba dzenyu dzese, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.’”
21 Mozisi akabva angoshevedza vakuru vese vaIsraeri+ akati kwavari: “Endai munosarudza zvipfuwo* zvidiki, mhuri imwe neimwe, muuraye chibayiro chePaseka. 22 Munofanira kubva manyika sumbu rehisopi muropa riri mubheseni, morizora nechekumusoro kwesuo nepamagwatidziro aro maviri; uye hapana kana mumwe wenyu anofanira kubuda pasuo reimba yake kusvikira mangwanani. 23 Jehovha paanozopfuura kuti atambudze vaIjipiti, oona ropa kumusoro kwesuo nepamagwatidziro aro maviri, Jehovha achabva adarika suo racho, uye haazobvumiri kuti dambudziko racho rinounza rufu* ripinde mudzimba dzenyu.+
24 “Munofanira kuchengeta chiitiko ichi uye uchava murau nekusingagumi kwamuri nekuvanakomana venyu.+ 25 Uye pamuchapinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakataura, munofanira kuchengeta chiitiko ichi.+ 26 Uye vanakomana venyu pavachakubvunzai kuti, ‘Munoitirei mhemberero iyi?’+ 27 munofanira kuti, ‘Ichi chibayiro chePaseka chatinoitira Jehovha, uyo akadarika padzimba dzevaIsraeri muIjipiti paakatambudza vaIjipiti, achisiya dzimba dzedu.’”
Vanhu vakabva vapfugama, vakadzikisa misoro yavo. 28 Saka vaIsraeri vakaenda vakaita izvo Jehovha akanga audza Mozisi naAroni.+ Vakaita izvozvo chaizvo.
29 Kuzoti pava pakati peusiku, Jehovha akarova matangwe ese aiva munyika yeIjipiti,+ kubvira kudangwe raFarao uyo akanga akagara pachigaro chake cheumambo kusvikira kudangwe renhapwa yaiva mujeri,* nematangwe ese emhuka.+ 30 Farao akamuka usiku ihwohwo pamwe nevashandi vake vese nevamwe vaIjipiti vese, uye pakava nekuchema kukuru pakati pevaIjipiti, nekuti hakuna imba yakasara isina munhu akafa.+ 31 Akabva angoshevedza Mozisi naAroni+ usiku ihwohwo, akati: “Simukai mubve pakati pevanhu vangu, mese nevamwe vaIsraeri. Endai munoshumira Jehovha sezvamakataura.+ 32 Endaiwo nemakwai enyu nemombe dzenyu sezvamakataura.+ Asi mundikomborerewo.”
33 VaIjipiti vakatanga kuteterera vanhu kuti vakurumidze kubva+ munyika yacho vachiti, “nekuti tese tangofanana nevanhu vakafa!”+ 34 Saka vanhu vakatakura mukanyiwa wavo wefurawa usati waiswa mbiriso, uye vakatakura midziyo yavo yekukanyira pamapfudzi avo yakaputirwa muzvipfeko zvavo. 35 VaIsraeri vakaita zvavakanga vaudzwa naMozisi uye vakakumbira vaIjipiti zvinhu zvesirivha nezvegoridhe, pamwe chete nezvipfeko.+ 36 Jehovha akaita kuti vanzwirwe nyasha nevaIjipiti, zvekuti vakavapa zvavakakumbira, uye vakatuta zvinhu zvevaIjipiti.+
37 VaIsraeri vakabva vasimuka muRamesesi+ vakananga kuSukoti.+ Varume vaifamba netsoka vaisvika 600 000, tisingaverengi vana.+ 38 Boka guru revamwe vanhu vakasiyana-siyana*+ rakaendawo navo, pamwe chete nemakwai nemombe, zvipfuwo zvakawanda kwazvo. 39 Vakatanga kubika chingwa cheraundi chisina mbiriso vachishandisa mukanyiwa wavakanga vabuda nawo muIjipiti. Chakanga chisina mbiriso, nekuti vakanga vaita zvekudzingwa muIjipiti, saka havana kuwana nguva yekugadzira mbuva.+
40 Pakazobuda vaIsraeri munyika yeIjipiti,+ vakanga vagara sevatorwa kwemakore 430.+ 41 Pakapera makore acho 430, pazuva iri chairo, mauto ese aJehovha akabuda munyika yeIjipiti. 42 Uhwu ndihwo usiku hwavachapemberera kubudiswa kwavo munyika yeIjipiti naJehovha. Usiku uhwu hunofanira kupembererwa nevaIsraeri vese muzvizvarwa zvavo zvese vachikudza Jehovha.+
43 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni, “Uyu ndiwo murau wePaseka: Hapana mutorwa anofanira kuidya.+ 44 Asi kana paine muranda akatengwa nemari, munofanira kumuchecheudza.+ Ipapo chete ndipo paanozokwanisa kuidya nemi. 45 Munhu anobva kune imwe nyika kana mushandi wemaricho haafaniri kuidya. 46 Inofanira kudyirwa muimba imwe chete. Haufaniri kubuda mumba neimwe nyama yacho, uye haufaniri kutyora mapfupa ayo.+ 47 Ungano yese yaIsraeri inofanira kuipemberera. 48 Kana uchigara nemutorwa uye achida kupemberera Paseka inoitirwa Jehovha, vanhurume vese vemumba make vanofanira kuchecheudzwa. Kana adaro, anogona hake kuipemberera, uye achange aita sechizvarwa chemunyika yacho. Asi hapana murume asina kuchecheudzwa anobvumirwa kuidya.+ 49 Pachashanda mutemo mumwe chete kumugari wemunyika yacho uye kumutorwa ari kugara pakati penyu.”+
50 Saka vaIsraeri vese vakaita izvo Jehovha akanga audza Mozisi naAroni. Vakaita izvozvo chaizvo. 51 Pazuva iri chairo, Jehovha akabudisa vaIsraeri munyika yeIjipiti pamwe chete nemauto avo.
13 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Nditsaurire dangwe rese rechirume* pakati pevaIsraeri. Munhurume wese anotanga kuzvarwa ndewangu, uye mhuka hono yese inotanga kuberekwa ndeyangu.”+
3 Mozisi akabva ati kuvanhu: “Yeukai zuva iri ramakabuda muIjipiti,+ muimba yeuranda, nekuti Jehovha akakubudisai muno neruoko rune simba.+ Saka hapana chinhu chine mbiriso chinofanira kudyiwa. 4 Muri kubuda pazuva iri, mumwedzi waAbhibhi.*+ 5 Kana Jehovha akusvitsai kunyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, nevaJebhusi,+ yaakapikira madzitateguru enyu kuti achakupai,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ munofanira kuita mhemberero iyi mwedzi uno. 6 Kwemazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso,+ uye pazuva rechinomwe pachava nemutambo unoitirwa Jehovha. 7 Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe;+ uye hamufaniri kuva nechinhu chine mbiriso,+ kana mukanyiwa wakavira munyika* yenyu yese. 8 Uye unofanira kuudza mwanakomana wako pazuva iroro kuti, ‘Ndinoita izvi nemhaka yezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’+ 9 Uye ichi chinofanira kuva sechiratidzo paruoko rwako uye sechiyeuchidzo* pahuma yako,*+ kuti mutemo waJehovha uve mumuromo mako, nekuti Jehovha akakubudisa muIjipiti neruoko rune simba. 10 Unofanira kuchengeta murau uyu gore negore kana nguva yawo yasvika.+
11 “Kana Jehovha akusvitsa kunyika yevaKenani, yaakapika kwauri nekumadzitateguru ako kuti achakupa,+ 12 utsaurire Jehovha dangwe rese rechirume,* nechipfuwo chese chikono chinotanga kuberekwa pazvipfuwo zvaunenge wava nazvo. Zvese ndezvaJehovha.+ 13 Mwana wese wedhongi anotanga kuberekwa umudzikinure negwai, uye kana ukasamudzikinura, unofanira kutyora mutsipa wake. Uye udzikinure matangwe ese echirume evanakomana vako.+
14 “Kana mwanakomana wako akazokubvunza kuti, ‘Izvi zvinorevei?’ unofanira kuti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa muIjipiti, muimba yeuranda, neruoko rune simba.+ 15 Farao paakaomesa mwoyo achiramba kuti tiende,+ Jehovha akauraya matangwe ese munyika yeIjipiti, kubvira kudangwe remunhu kusvikira kudangwe remhuka.+ Ndokusaka ndiri kubayira Jehovha mhuka hono dzese dzinotanga kuberekwa,* uye ndichidzikinura matangwe ese evanakomana vangu.’ 16 Ichi chinofanira kuva sechiratidzo paruoko rwako uye serundanyara* pahuma yako,*+ nekuti Jehovha akatibudisa muIjipiti neruoko rune simba.”
17 Farao paakarega vanhu vachienda, Mwari haana kuvatungamirira nenzira yaipfuura nemunyika yevaFiristiya kunyange zvazvo iri iyo yaiva pedyo. Nekuti Mwari akati: “Pamwe vanhu vangachinja mwoyo kana vasangana nehondo vodzokera kuIjipiti.” 18 Saka Mwari akaita kuti vatenderere nenzira yekurenje reGungwa Dzvuku.+ Asi pavakabuda munyika yeIjipiti, vaIsraeri vakanga vakarongwa semauto. 19 Mozisi akatorawo mapfupa aJosefa, nekuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike zvakasimba achiti: “Mwari haazotadzi kukurangarirai, uye munofanira kuzobuda muno nemapfupa angu.”+ 20 Vakabva kuSukoti vakanodzika musasa kuEtamu kumucheto kwerenje.
21 Jehovha akanga achifamba mberi kwavo masikati ari mushongwe yegore achivatungamirira munzira,+ uye usiku ari mushongwe yemoto kuti avape chiedza, kuti vakwanise kufamba masikati neusiku.+ 22 Shongwe yegore yaisabva pamberi pevanhu masikati, uyewo shongwe yemoto yaisabva pamberi pevanhu usiku.+
14 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 2 “Udza vaIsraeri kuti vanofanira kudzoka vodzika musasa pakatarisana nePihahiroti, pakati peMigdhori negungwa, vachikwanisa kuona Bhaari-zefoni.+ Mudzike musasa pedyo negungwa makaitarisa. 3 Farao achabva ati nezvevaIsraeri, ‘Vava kungodzungaira nenyika. Vava kushaya kwekuenda murenje.’ 4 Ndicharega mwoyo waFarao uchioma,+ uye achavatevera, uye ndichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ese;+ uye vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.”+ Saka vaIsraeri vakaita saizvozvo.
5 Mambo weIjipiti akazoudzwa kuti vanhu vakanga vatiza. Farao nevashandi vake vakabva vachinja mwoyo pamusoro pevanhu vacho,+ uye vakati: “Takaiteiko nhai, kurega varanda vedu vaIsraeri vachienda?” 6 Saka akagadzirira ngoro dzake dzehondo, akaenda nevanhu vake.+ 7 Akatora ngoro dzehondo 600 dzakanga dzanyatsosarudzwa, nedzimwe ngoro dzese dzeIjipiti, imwe neimwe iine varwi. 8 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao mambo weIjipiti uchioma, uye akatevera vaIsraeri pavakanga vachibuda nechivimbo.*+ 9 VaIjipiti vakavatevera,+ vaine ngoro dzese dzemabhiza dzaFarao, nemauto ake, nevarwi vake vakanga vakatasva mabhiza uye vakanga vava kutovabata pavakanga vakadzika musasa pedyo negungwa, paPihahiroti, pakatarisana neBhaari-zefoni.
10 Farao paakanga ava pedyo, vaIsraeri vakasimudza misoro, vakaona vaIjipiti vachivatevera. VaIsraeri vakatanga kutya, vakatanga kuchemera Jehovha.+ 11 Vakati kuna Mozisi: “MuIjipiti makanga musina makuva here zvamakatiunza kuno kuti tifire murenje?+ Makazviitirei? Makatibudisirei muIjipiti? 12 Izvi handizvo here zvatakakuudzai tiri muIjipiti, patakati, ‘Tisiyei hedu tichishandira vaIjipiti’? Nekuti zviri nani kuti tishandire hedu vaIjipiti, pane kufira murenje.”+ 13 Mozisi akabva ati kuvanhu vacho: “Musatya henyu.+ Mirai makasimba muone ruponeso rwaJehovha rwaachakuitirai nhasi.+ Nekuti vaIjipiti ava vamuri kuona nhasi, hamuzombovaoni zvakare.+ 14 Jehovha pachake ndiye achakurwirai,+ uye imi muchange makanyarara.”
15 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Uri kurambirei uchindichemera? Udza vaIsraeri kuti vaputse musasa. 16 Asi iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pagungwa urikamure, kuti vaIsraeri vapfuure nepakati pegungwa panyika yakaoma. 17 Kana ndiri ini, ndiri kurega mwoyo yevaIjipiti ichioma, zvekuti vachavatevera; saka ndichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ese, kungoro dzake dzehondo, nekuvarwi vake vakatasva mabhiza.+ 18 Uye vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha pandichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao, kungoro dzake dzehondo, nekuvarwi vake vakatasva mabhiza.”+
19 Ngirozi yaMwari wechokwadi+ yakanga ichitungamirira ungano yevaIsraeri yakabva ikaenda shure kwavo, uye shongwe yegore yaiva kumberi kwavo yakabva ikaenda kunomira shure kwavo.+ 20 Saka yakapinda pakati pemusasa wevaIjipiti nemusasa waIsraeri.+ Kune rumwe rutivi yaiva gore dema. Kune rumwe rutivi yaivheneka usiku.+ Saka hapana vakaswedera kwaiva nevamwe usiku hwese.
21 Mozisi akabva atambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa;+ uye Jehovha akadzorera shure gungwa achishandisa mhepo yekumabvazuva ine simba usiku hwese, achiita kuti pasi pegungwa pachinje kuva nyika yakaoma,+ uye mvura yakakamurwa.+ 22 Saka vaIsraeri vakapfuura nepakati pegungwa panyika yakaoma,+ uye mvura yakanga yakaita semadziro kuruoko rwavo rwerudyi nekuruboshwe kwavo.+ 23 VaIjipiti vakavatevera, uye mabhiza ese aFarao, ngoro dzake dzehondo, nevarwi vake vakanga vakatasva mabhiza, vakatanga kuvatevera pakati pegungwa.+ 24 Panguva yekurinda kwemangwanani* Jehovha akatarisa vaIjipiti ari mushongwe yemoto negore,+ akavhiringidza vaIjipiti. 25 Akaramba achigurunura mavhiri engoro dzavo zvekuti vakanga vava kunetseka kudzifambisa, uye vaIjipiti vaiti: “Ngatitizei vaIsraeri, nekuti Jehovha ari kuvarwira achirwisana nesu vaIjipiti.”+
26 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzoke pamusoro pevaIjipiti, pangoro dzavo dzehondo, nepavarwi vavo vakatasva mabhiza.” 27 Mozisi akabva angotambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwava kuedza gungwa rakatanga kudzokera pane zvarakanga rakaita. VaIjipiti pavaitiza, Jehovha akavazunzira mukati megungwa.+ 28 Mvura yaidzokera yakafukidza ngoro dzehondo, nemauto ese aFarao nevarwi vakanga vakatasva mabhiza vakanga vapinda mugungwa vachivatevera.+ Hapana kana mumwe chete wavo akapona.+
29 Asi vaIsraeri vakafamba panyika yakaoma pakati pegungwa,+ uye mvura yakanga yakaita semadziro kuruoko rwavo rwerudyi nekuruboshwe kwavo.+ 30 Saka Jehovha akaponesa Israeri paruoko rwevaIjipiti pazuva iroro,+ uye Israeri akaona zvitunha zvevaIjipiti pamhenderekedzo yegungwa. 31 Israeri akaonawo simba guru rakanga rashandiswa naJehovha pakurwisa vaIjipiti, uye vanhu vakatanga kutya Jehovha, uye vakava nekutenda muna Jehovha naMozisi mushumiri wake.+
15 Panguva iyoyo Mozisi nevaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu:+
“Regai ndiimbire Jehovha, nekuti ava kukudzwa kwazvo.+
Akanda bhiza nemutasvi waro mugungwa.+
2 Jah* ndiye simba rangu nemudziviriri wangu, nekuti ava ruponeso rwangu.+
Uyu ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza;+ Mwari wababa vangu,+ uye ndichamukudza.+
3 Jehovha murwi ane simba.+ Jehovha ndiro zita rake.+
4 Akanda ngoro dzaFarao nemauto ake mugungwa,+
Uye varwi vake vakanyatsosarudzwa vanyura muGungwa Dzvuku.+
5 Mvura ine masaisai yavafukidza; vanyura sedombo mumvura yakadzika.+
6 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwerudyi rune simba kwazvo;+
Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwerudyi runogona kuparadza muvengi.
7 Neukuru hwenyu munogona kuwisira pasi vaya vanokupandukirai;+
Munotuma hasha dzenyu dzinopisa, dzovaparadza semashanga.
8 Mvura yakaunganidzwa nekufema kwemhino dzenyu;
Yakamira semadziro, ikabata masaisai;
Mvura ine masaisai yakagwamba mumwoyo megungwa.
9 Muvengi akati: ‘Ndichavatevera! Ndichavabata!
Ndichagova zvandinenge ndapamba kusvikira ndagutswa!*
Ndichavhomora bakatwa rangu! Ruoko rwangu ruchavakurira!’+
11 Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari?+
Ndiani akafanana nemi, ari kuratidza kuti mukuru pautsvene?+
Imi munofanira kutyiwa nenziyo dzekurumbidza, imi munoita zvishamiso.+
12 Matambanudza ruoko rwenyu rwerudyi, nyika ikavamedza.+
13 Matungamirira vanhu vamakadzikinura nerudo rwenyu rusingachinji;+
Muchavatungamirira nesimba renyu kunzvimbo yenyu tsvene yekugara.
Vagari vese vemuKenani vachaora mwoyo.+
16 Vachabatwa nekutya nekuvhunduka.+
Nemhaka yeukuru hweruoko rwenyu vachaita sedombo risingatsuduguki
Kusvikira vanhu venyu vapfuura, haiwa Jehovha,
17 Muchavaunza movadyara mugomo renhaka yenyu,+
Nzvimbo isingachinji yamakazvigadzirira kuti mugare, haiwa Jehovha,
Nzvimbo tsvene, haiwa Jehovha, yamakaita kuti ivepo nemaoko enyu.
18 Jehovha achatonga samambo nariini nariini.+
19 Mabhiza aFarao paapinda mugungwa pamwe chete nengoro dzake dzehondo nevarwi vake vakatasva mabhiza,+
Jehovha abva adzorera mvura yegungwa pavari,+
Asi vaIsraeri vafamba panyika yakaoma nepakati pegungwa.”+
20 Miriyemu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akabva atora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vese vakamutevera vaine matambureni vachitamba. 21 Miriyemu aidavira varume achiti:
“Imbirai Jehovha, nekuti ava kukudzwa kwazvo.+
Akanda bhiza nemutasvi waro mugungwa.”+
22 Mozisi akazotungamirira vaIsraeri vachibva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, uye vakaramba vachifamba kwemazuva matatu murenje, asi havana kuwana mvura. 23 Vakasvika kuMara,*+ asi vakatadza kunwa mvura yekuMara nekuti yaivava. Ndokusaka akatumidza nzvimbo yacho kuti Mara. 24 Saka vanhu vakatanga kugunun’unira Mozisi,+ vachiti: “Tichanwei?” 25 Akachemera Jehovha,+ uye Jehovha akamuratidza muti. Paakaukanda mumvura, mvura yacho yakatanga kunaka.
Mwari akaita kuti ichi chive chidzidzo kuti vazive matongero aaizoita, uye akavaedza kuti aone kana vaizoteerera.+ 26 Iye akati: “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu, uye mukaita zvakarurama pamberi pake, uye mukateerera mirayiro yake nekuchengeta mirau yake yese,+ handizounzi pamuri chirwere kana chimwe chete pane zvandakaunza pavaIjipiti,+ nekuti ini Jehovha, ndiri kukuporesai.”+
27 Vakazosvika kuErimu, kwaiva nezvitubu 12 nemichindwe 70. Saka vakadzika musasa ipapo pedyo nemvura.
16 Pavakabva paErimu, ungano yese yevaIsraeri yakazosvika kurenje reSini,+ riri pakati peErimu neSinai, pazuva rechi15 remwedzi wechipiri vabuda munyika yeIjipiti.
2 Ungano yese yevaIsraeri yakabva yatanga kugunun’unira Mozisi naAroni murenje.+ 3 VaIsraeri vairamba vachiti kwavari: “Dai takanga taurayirwa hedu munyika yeIjipiti neruoko rwaJehovha, patainge tigere pedyo nehari dzenyama,+ tichidya zvekudya tichiguta. Iye zvino makatiunza kurenje kuno kuti muuraye ungano yese iyi nenzara.”+
4 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ndava kukunayisirai chingwa chinobva kudenga,+ uye mumwe nemumwe anofanira kubuda kuti anounganidza zvinomukwanira zuva nezuva,+ kuti ndivaedze ndione kana vachizofamba mumutemo wangu kana kuti kwete.+ 5 Asi pazuva rechitanhatu+ pavanenge vachigadzira zvavanenge vaunganidza, zvinofanira kupeta kaviri zvavagara vachinhonga mamwe mazuva.”+
6 Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vese: “Manheru muchanyatsoziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai munyika yeIjipiti.+ 7 Mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nekuti Jehovha anzwa kugunun’una kwamuri kumuitira. Tiri vanaani kuti mugunun’une kwatiri?” 8 Mozisi akaenderera mberi achiti: “Jehovha paachakupai nyama yekuti mudye manheru uye mangwanani okupai chingwa kuti mudye mugute, muchaona kuti Jehovha anzwa kugunun’una kwamuri kumuitira. Asi isu tiri vanaani? Hamusi kugunun’unira isu, asi Jehovha.”+
9 Mozisi akabva ati kuna Aroni: “Udza ungano yese yevaIsraeri kuti, ‘Swederai pamberi paJehovha, nekuti anzwa kugunun’una kwenyu.’”+ 10 Aroni achangopedza kutaura neungano yese yevaIsraeri, vakatendeuka, vakatarisa kurenje, vakaona kubwinya kwaJehovha kuri mugore.+
11 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 12 “Ndanzwa kugunun’una kwevaIsraeri.+ Vaudze kuti, ‘Panguva yerubvunzavaeni* muchadya nyama, uye mangwanani muchadya chingwa kusvika maguta,+ uye muchanyatsoziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”+
13 Saka manheru iwayo zvihuta zvakatanga kuuya,+ zvikafukidza musasa, uye mangwanani dova rakanga rakafukidza pasi mumusasa wacho wese. 14 Dova racho parakaoma, murenje maiva nezvinhu zvakatsetseka zvinopfupfunyuka+ zvakaita sechando chakachena pasi. 15 VaIsraeri pavakazviona, vakatanga kubvunzana vachiti, “Chii ichi?” nekuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari: “Chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.+ 16 Uyu ndiwo murayiro wapiwa naJehovha, ‘Mumwe nemumwe anofanira kuunganidza maererano nezvaanokwanisa kudya. Munofanira kunhonga zvinoenderana neuwandu hwevanhu vari mutende renyu, munhu mumwe nemumwe achiwana* omeri*+ imwe chete.’” 17 VaIsraeri vakatanga kuita izvozvo; vakazviunganidza, vamwe zvakawanda uye vamwe zvishoma. 18 Pavaizozviyera neomeri, uya ainge aunganidza zvakawanda aisava nezvakawandisa uye uya ainge aunganidza zvishoma aiva nezvaimukwanira.+ Mumwe nemumwe aizviunganidza maererano nezvaaikwanisa kudya.
19 Mozisi akabva ati kwavari: “Hapana anofanira kusiya zvimwe kusvikira mangwanani.”+ 20 Asi havana kuteerera Mozisi. Vamwe vanhu pavaizvisiya kusvikira mangwanani, zvaiita honye zvonhuhwa, uye Mozisi akavatsamwira. 21 Mangwanani ega ega, mumwe nemumwe ainhonga zvinoenderana nezvaaikwanisa kudya. Zuva paraipisa, zvainyunguduka.
22 Pazuva rechitanhatu vakanhonga chingwa chakapetwa kaviri,+ zviyero zviviri zveomeri pamunhu. Saka machinda ese eungano akauya akaudza Mozisi nezvazvo. 23 Iye akabva ati kwavari: “Ndizvo zvataurwa naJehovha. Mangwana richange riri zuva rekuzorora zvakakwana,* sabata dzvene rinoitirwa Jehovha.+ Kanyai mubike zvamunoda kubika, uye fashaidzai zvamunoda kufashaidza;+ mochengeta zvinenge zvasara kusvikira mangwana.” 24 Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani acho, sezvakanga zvataurwa naMozisi, uye hazvina kunhuhwa kana kuita honye. 25 Mozisi akabva ati: “Zvidyei nhasi, nekuti nhasi isabata rinoitirwa Jehovha. Nhasi hamuzozviwani pasi. 26 Muchazvinhonga kwemazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, zuva reSabata,+ zvichange zvisipo.” 27 Asi vamwe vanhu vakabuda kunozvinhonga pazuva rechinomwe, asi havana chavakawana.
28 Saka Jehovha akati kuna Mozisi: “Mucharamba musingachengeti mirayiro yangu nemitemo yangu kusvikira riini?+ 29 Onai kuti Jehovha akupai Sabata.+ Ndokusaka ari kukupai chingwa chemazuva maviri pazuva rechitanhatu. Munhu wese anofanira kuramba ari paari; hapana anofanira kubva panzvimbo yake pazuva rechinomwe.” 30 Saka vanhu vakachengeta Sabata* pazuva rechinomwe.+
31 Imba yaIsraeri yakatumidza chingwa chacho kuti “mana.”* Chakanga chakachena semhodzi dzekoriyanda, uye chainaka semakeke akatetepa ane uchi.+ 32 Mozisi akabva ati: “Jehovha arayira kuti, ‘Zadzai chiyero cheomeri nayo kuti ive chinhu chichachengetwa kwezvizvarwa zvenyu zvese,+ kuti vaone chingwa chandakaita kuti mudye murenje pandakanga ndichikubudisai munyika yeIjipiti.’” 33 Saka Mozisi akati kuna Aroni: “Tora chirongo uise omeri imwe chete yemana, uiise pamberi paJehovha kuti ive chinhu chichachengetwa kwezvizvarwa zvenyu zvese.”+ 34 Aroni akabva aiisa pamberi peChipupuriro+ kuti ichengetwe, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 35 VaIsraeri vakadya mana kwemakore 40,+ kusvikira vasvika kunyika yaigarwa nevanhu.+ Vakadya mana kusvikira vasvika kumuganhu wenyika yeKenani.+ 36 Omeri inopinda kagumi muefa.*
17 Ungano yese yevaIsraeri yakabva kurenje reSini+ ichiti ikafamba yombomira, sezvayaiudzwa naJehovha,+ ndokuzodzika musasa paRefidhimu.+ Asi pakanga pasina mvura yekuti vanhu vanwe.
2 Saka vanhu vakatanga kupopotera Mozisi+ vachiti: “Tipe mvura tinwe.” Asi Mozisi akati kwavari: “Nei muri kundipopotera? Munorambirei muchiedza Jehovha?”+ 3 Asi vanhu vakanga vanzwa nenyota, uye vakaramba vachigunun’unira Mozisi+ vachiti: “Wakatibudisirei muIjipiti? Kuti utiuraye nenyota pamwe nevanakomana vedu nezvipfuwo zvedu?” 4 Mozisi akazochemera Jehovha, achiti: “Ndoita sei nevanhu ava? Ndikavanonokera vachanditema nematombo!”
5 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Famba uri pamberi pevanhu, uine vamwe vakuru vaIsraeri netsvimbo yako yawakarova nayo Rwizi rwaNire.+ Enda nayo iri muruoko rwako. 6 Ini ndichange ndakamira ipapo pamberi pako padombo riri muHorebhi. Unofanira kurova dombo racho, mvura yobuda mariri, uye vanhu vachainwa.”+ Mozisi akaita saizvozvo vakuru vaIsraeri vakatarisa. 7 Saka akatumidza nzvimbo yacho kuti Masa*+ uye Meribha,*+ nemhosva yekupopota kwevaIsraeri, uye nekuti vakaedza+ Jehovha vachiti: “Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?”
8 VaAmareki+ vakauya, vakarwisa Israeri muRefidhimu.+ 9 Mozisi akabva ati kuna Joshua:+ “Tisarudzire varume, moenda kunorwisa vaAmareki. Mangwana ini ndichanomira pamusoro pechikomo, ndiine tsvimbo yaMwari wechokwadi muruoko rwangu.” 10 Joshua akabva aita zvaakanga audzwa naMozisi,+ uye akarwisa vaAmareki. Uye Mozisi, Aroni, naHeri+ vakakwira pamusoro pechikomo.
11 Mozisi paairamba akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paaingodzikisa maoko ake, vaAmareki vaikunda. 12 Maoko aMozisi paakanga ava kurema, vakatora dombo, vakariisa pasi pake, akagara pariri. Aroni naHeri vakabva vatsigira maoko ake, mumwe akatsigira ruoko urwu uye mumwe rumwe rwacho, kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira zuva ravira. 13 Saka Joshua akakunda vaAmareki nemauto avo nebakatwa.+
14 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Nyora izvi mubhuku kuti zvive chiyeuchidzo, uye uzvitaurire Joshua, ‘Ndichaita kuti vaAmareki vasayeukwa zvachose pasi pedenga.’”+ 15 Mozisi akabva avaka atari, akaitumidza kuti Jehovha-nisi,* 16 achiti: “Nekuti ruoko rwaAmareki runorwisana nechigaro cheumambo chaJah,+ Jehovha acharwa naye kwezvizvarwa nezvizvarwa.”+
18 Jetro, mupristi weMidhiyani, tezvara vaMozisi,+ akanzwa zvese zvakanga zvaitirwa Mozisi nevanhu vake vaIsraeri naMwari, mabudisiro akanga aita Jehovha vaIsraeri muIjipiti.+ 2 Jetro, tezvara vaMozisi, akanga ambotora Zipora, mudzimai waMozisi, paakanga ambodzoswa kwaari, 3 aine vanakomana vake vaviri.+ Mumwe mwanakomana wacho ainzi Geshomu,*+ nekuti Mozisi akati, “Ndakava mutorwa mune imwe nyika,” 4 uye mumwe wacho ainzi Eriyezeri,* nekuti akati, “Mwari wababa vangu ndiye mubatsiri wangu akandinunura pabakatwa raFarao.”+
5 Saka Jetro, tezvara vaMozisi, pamwe nevanakomana vaMozisi nemudzimai wake, vakauya kwaiva naMozisi murenje maakanga akadzika musasa, mugomo raMwari wechokwadi.+ 6 Akabva atumira shoko kuna Mozisi achiti: “Ini, tezvara vako Jetro,+ ndiri kuuya kwauri pamwe nemudzimai wako nevanakomana vako vaviri.” 7 Mozisi akabva angobuda kunochingura tezvara vake, akakotama, akavatsvoda. Vakabvunzana upenyu vakabva vapinda mutende.
8 Mozisi akarondedzera kuna tezvara vake zvese zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Farao neIjipiti, achirwira Israeri,+ matambudziko ese avakanga vasangana nawo munzira,+ uye kuti Jehovha akanga avanunura sei. 9 Jetro akafara nezvakanaka zvese zvakanga zvaitirwa vaIsraeri naJehovha nekuvanunura kubva kuIjipiti.* 10 Jetro akabva ati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununurai kubva kuIjipiti uye kubva kuna Farao, uye akanunura vanhu kubva muutongi hweIjipiti. 11 Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru pane vamwe vanamwari vese,+ nezvaakaitira vaya vaizvikudza vachirwisa vanhu vake.” 12 Jetro, tezvara vaMozisi, akabva aunza mupiro unopiswa nezvibayiro kuna Mwari, uye Aroni nevakuru vese vaIsraeri vakauya vakadya natezvara vaMozisi pamberi paMwari wechokwadi.
13 Zuva rakatevera racho, Mozisi akagara pasi sezvaaigara achiita kuti atongere vanhu mhosva dzavo, uye vanhu vakaramba vachiuya vachimira pamberi paMozisi kubvira mangwanani kusvikira manheru. 14 Tezvara vaMozisi pavakaona zvese zvaakanga achiitira vanhu, vakati: “Ko chii ichi chauri kuitira vanhu? Unogarirei pano uri wega nevanhu vese ava vakamira pamberi pako kubvira mangwanani kusvikira manheru?” 15 Mozisi akati kuna tezvara vake: “Nekuti vanhu vanoramba vachiuya kwandiri kuti vabvunze Mwari. 16 Kana pakaitika nyaya, inouya kwandiri, ndotonganisa vanhu vacho, ndovazivisa zvinenge zvasarudzwa naMwari wechokwadi uye mitemo yake.”+
17 Tezvara vaMozisi vakati kwaari: “Zvauri kuita hazvisirizvo. 18 Chokwadi uchaneta, iwe nevanhu ava vauinavo, nekuti mutoro uyu wakakurisa, haukwanisi kuutakura uri wega. 19 Chinzwa zvandiri kutaura. Ndichakupa zano, uye Mwari achava newe.+ Iwe miririra vanhu pamberi paMwari wechokwadi,+ uye endesa nyaya dzacho kuna Mwari wechokwadi.+ 20 Unofanira kuvadzidzisa mirau nemitemo+ uye kuvadzidzisa nzira yavanofanira kufamba nayo nebasa ravanofanira kuita. 21 Asi unofanira kusarudza varume vakachenjera+ vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga kubiridzira,+ wovagadza kuti vave vakuru vezviuru, vakuru vemazana, vakuru vemakumi mashanu, uye vakuru vemakumi.+ 22 Vanofanira kutonga vanhu kana paine nyaya dzamuka,* nyaya dzese dzakaoma vouya nadzo kwauri,+ asi ivo votonga nyaya dzese diki. Zvirerutsire nekuita kuti vatakure mutoro wacho pamwe chete newe.+ 23 Kana ukaita izvi, uye kana zviri izvo zvarayirwa naMwari, uchazvirerutsira, uye munhu wese achaenda kumba agutsikana.”
24 Mozisi akabva ateerera tezvara vake, akaita zvese zvavakanga vataura. 25 Mozisi akasarudza varume vakachenjera pakati pevaIsraeri vese, akavagadza kuti vave vatungamiriri vevanhu, kuti vave vakuru vezviuru, vakuru vemazana, vakuru vemakumi mashanu uye vakuru vemakumi. 26 Saka vaitonga vanhu kana paine nyaya dzamuka. Nyaya yainge yakaoma vaiuya nayo kuna Mozisi,+ asi nyaya dzese diki ndivo vaitonga. 27 Pashure paizvozvo Mozisi akaonekana natezvara vake,+ vakaenda kunyika yavo.
19 Mumwedzi wechitatu vaIsraeri vabuda munyika yeIjipiti, pazuva rimwe chetero, vakasvika kurenje reSinai. 2 Vakatama kuRefidhimu,+ vakasvika kurenje reSinai, vakadzika musasa murenje. Israeri akadzika musasa ipapo pakatarisana negomo.+
3 Mozisi akabva akwira kuna Mwari wechokwadi, uye Jehovha akamushevedza ari mugomo,+ achiti: “Unofanira kuudza imba yaJakobho izvi uye uzivise vaIsraeri kuti, 4 ‘Imi makazvionera mega zvandakaitira vaIjipiti,+ kuti ndikutakurei pamapapiro emakondo ndichikuunzai kwandiri.+ 5 Saka kana mukanyatsoteerera inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu yandinokoshesa pakati pemarudzi ese,+ nekuti nyika yese ndeyangu.+ 6 Muchava kwandiri umambo hwevapristi nerudzi rutsvene.’+ Aya ndiwo mashoko aunofanira kuudza vaIsraeri.”
7 Saka Mozisi akaenda, akashevedza vakuru vevanhu, akavazivisa mashoko aya ese aakanga arayirwa naJehovha.+ 8 Pashure paizvozvo vanhu vese vakapindura pamwe chete vachiti: “Tinobvuma kuita zvese zvataurwa naJehovha.”+ Mozisi akabva angodzokera nemhinduro yevanhu kuna Jehovha. 9 Uye Jehovha akati kuna Mozisi: “Inzwa! Ndiri kuuya kwauri ndiri mugore dema, kuti vanhu vanzwe pandinotaura newe uye kuti vagare vachitendawo mauri.” Mozisi akabva audza Jehovha mashoko evanhu.
10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Enda kuvanhu, uvatsvenese nhasi namangwana, uye vanofanira kugeza zvipfeko zvavo. 11 Vanofanira kunge vagadzirira panozosvika zuva rechitatu, nekuti pazuva rechitatu Jehovha achaburuka achiuya paGomo reSinai vanhu vese vachiona. 12 Unofanira kuisira vanhu miganhu uchiritenderera rese, wovaudza kuti, ‘Ngwarirai kuti musakwira mugomo, kana kutsika pamuganhu waro. Munhu wese anobata gomo iroro chokwadi achaurayiwa. 13 Hapana ruoko runofanira kumubata, asi achaita zvekutemwa nematombo kana kupfurwa.* Ingava mhuka kana kuti munhu, haazorarami.’+ Asi kana hwamanda yenyanga yegondohwe+ yarira vanogona zvavo kukwira mugomo.”
14 Mozisi akabva aburuka mugomo akaenda kwaiva nevanhu, akatanga kuvatsvenesa, uye vakageza zvipfeko zvavo.+ 15 Akati kuvanhu vacho: “Gadzirirai, zuva rechitatu rava kusvika. Musarara nemadzimai enyu.”*
16 Mangwanani ezuva rechitatu, pakava nemabhanan’ana nemheni, uye gore dema+ rakavapo pamusoro pegomo, pakava nekurira kukuru kwehwamanda, uye vanhu vese vakanga vari mumusasa vakatanga kudedera.+ 17 Mozisi akabva abudisa vanhu mumusasa kuti vanosangana naMwari wechokwadi, uye vakanomira mujinga megomo. 18 Gomo reSinai rese rakapfungaira, nekuti Jehovha akaburuka achiuya pamusoro paro ari mumoto;+ uye utsi hwaro hwaikwira seutsi hwebisiro,* uye gomo rese rakanga richizununguka zvinotyisa.+ 19 Kurira kwehwamanda pakwairamba kuchiwedzera, Mozisi akataura, uye inzwi raMwari wechokwadi rakamupindura.
20 Saka Jehovha akaburuka achiuya pamusoro peGomo reSinai. Jehovha akabva ashevedza Mozisi kuti akwire pamusoro pegomo, Mozisi akakwira.+ 21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Buruka unoyambira vanhu kuti vasaedza kupfuura muganhu vachiuya kuzoona Jehovha, nekuti kana vakadaro vazhinji vavo vangafa. 22 Uye vapristi vanogara vachiswedera kuna Jehovha ngavazvitsvenesewo, kuti Jehovha arege kuvarova.”+ 23 Mozisi akabva ati kuna Jehovha: “Vanhu havakwanisi kukwira muGomo reSinai nekuti makatiyambira kare muchiti, ‘Isai miganhu muchitenderera gomo, muriite dzvene.’”+ 24 Asi Jehovha akati kwaari: “Enda, buruka, wozodzoka, iwe naAroni, asi usarega vapristi nevanhu vachipfuura muganhu vachiuya kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.”+ 25 Saka Mozisi akaburuka, akaenda kwaiva nevanhu, akavaudza izvozvo.
20 Mwari akabva ataura mashoko aya ese:+
2 “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda.+ 3 Usava nevamwe vanamwari kunze kwangu.+
4 “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika.+ 5 Usazvikotamira kana kunyengedzwa kuti uzvishumire,+ nekuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara,+ anoranga vanakomana nekuda kwekukanganisa kwemadzibaba avo, kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina chevaya vanondivenga, 6 asi ane rudo rusingachinji kuzviuru zvezvizvarwa zvevaya vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.+
7 “Usashandisa zita raJehovha Mwari wako zvisina kukodzera,+ nekuti Jehovha haazoregi kuranga munhu anoshandisa zita rake zvisina kukodzera.+
8 “Yeuka zuva reSabata, uriite dzvene.+ 9 Unofanira kushanda uchiita basa rako rese kwemazuva matanhatu,+ 10 asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako. Usaita chero basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana murandarume wako kana murandasikana wako, kana chipfuwo chako kana mutorwa wako ari maunogara.*+ 11 Nekuti mumazuva matanhatu Jehovha akaita denga nenyika, gungwa, nezvese zviri mazviri, uye akatanga kuzorora pazuva rechinomwe.+ Ndokusaka Jehovha akakomborera zuva reSabata uye akariita dzvene.
12 “Kudza baba vako naamai vako,+ kuti urarame kwenguva refu panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.+
16 “Usapa uchapupu hwenhema nezvemumwe wako.+
17 “Usachiva imba yemumwe wako. Usachiva mudzimai wemumwe wako,+ kana murandarume wake, kana murandasikana wake, kana mombe yake kana dhongi rake, kana chinhu chipi zvacho chemumwe wako.”+
18 Vanhu vese vakanga vachinzwa mabhanan’ana nemheni, nekurira kwehwamanda, gomo richipfungaira; uye pavakaona izvi vakadedera, vakamira nechekure.+ 19 Saka vakati kuna Mozisi: “Imi taurai nesu, uye tichateerera, asi musarega Mwari achitaura nesu, nekuti tinotya kuti tingafa.”+ 20 Saka Mozisi akati kuvanhu: “Musatya henyu, nekuti Mwari wechokwadi auya kuzokuedzai,+ kuti muzoramba muchimutya morega kuzotadza.”+ 21 Saka vanhu vakaramba vakamira nechekure, asi Mozisi akaenda pedyo negore dema kwaiva naMwari wechokwadi.+
22 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Uti kuvaIsraeri, ‘Imi mazvionera mega kuti ndataura nemi ndiri kudenga.+ 23 Musagadzira vanamwari vesirivha movanamata pamwe chete neni, uye musazvigadzirira vanamwari vegoridhe.+ 24 Undigadzirire atari yevhu, uye ubayire pairi mipiro yako inopiswa nezvibayiro zvako zverugare,* makwai ako nemombe dzako. Munzvimbo dzese dzandichaita kuti zita rangu riyeukwe+ ndichauya kwauri ndokukomborera. 25 Kana ukandigadzirira atari yematombo, usaivaka nematombo akavezwa.+ Nekuti kana ukaishandisira mudziyo wekuvezesa, unenge uchiisvibisa. 26 Uye usakwira kuatari yangu nematanho, kuti nhengo dzako dzakavanzika* dzirege kufukurirwa pairi.’
21 “Iyi ndiyo mitongo yaunofanira kuvaudza:+
2 “Kana ukatenga muranda wechiHebheru,+ achava muranda kwemakore matanhatu, asi mugore rechinomwe achasunungurwa asina chaanoripa.+ 3 Kana akauya ari ega, achaenda ari ega. Kana akauya ari murume ane mudzimai, anofanira kuenda nemudzimai wake. 4 Kana tenzi wake akamupa mudzimai, omuberekera vanakomana kana kuti vanasikana, mudzimai nevana vake vachava vatenzi wake, uye iye achaenda ari ega.+ 5 Asi kana muranda wacho akaramba kuenda achiti, ‘Ndinoda tenzi wangu, mudzimai wangu nevanakomana vangu; handidi kusunungurwa,’+ 6 tenzi wake anofanira kuuya naye pamberi paMwari wechokwadi. Anofanira kubva amuunza pedyo nesuo kana kuti gwatidziro,* uye tenzi wake achaboora nzeve yake nemutsunda, uye achava muranda wake kweupenyu hwese.
7 “Kana murume akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwi sekusunungurwa kunoitwa murandarume. 8 Kana tenzi wake asina kufadzwa naye uye akarega kumusarudza kuti ave murongo asi oita kuti atengwe nemumwe munhu,* haazobvumirwi kumutengesera kuvanhu vekune dzimwe nyika nekuti anenge amunyengera. 9 Kana akasarudza kumupa mwanakomana wake kuti ave mudzimai wake, anofanira kumupa kodzero dzinopiwa mwanasikana. 10 Kana akatora mumwe mudzimai, haafaniri kuderedzera mudzimai wekutanga zvekudya nezvipfeko zvaaimupa, uye zvaaimuitira semunhu akaroorwa.*+ 11 Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, mudzimai wacho anofanira kuenda akasununguka pasina mari yaanobhadhara.
12 “Munhu wese anorova mumwe munhu zvekuti anofa, anofanira kuurayiwa.+ 13 Asi kana asina kuzviita nemaune uye Mwari wechokwadi abvumira kuti zviitike, ndichakusarudzira nzvimbo yaangatizira.+ 14 Kana munhu akatsamwira mumwe wake zvekuti anomuuraya nemaune,+ kunyange kana akapotera paatari yangu, munofanira kumutora momuuraya.+ 15 Munhu anorova baba vake kana amai vake, anofanira kuurayiwa.+
16 “Kana mumwe munhu akaba munhu+ omutengesa kana kuti owanikwa ainaye,+ anofanira kuurayiwa.+
17 “Munhu wese anotuka baba vake kana amai vake, anofanira kuurayiwa.+
18 “Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kana varume vakapopotedzana, mumwe otema mumwe wake nedombo kana kuti omurova nechibhakera, orega kufa, asi orara pamubhedha wake: 19 Kana akakwanisa kumuka ofamba-famba panze achishandisa mudonzvo, uya akamurova haafaniri kurangwa. Achangoripa chete nguva yemunhu waakakuvadza yaaifanira kuva pabasa rake, kusvikira anyatsopora.
20 “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandasikana wake neshamhu, ofira muruoko rwake, munhu iyeye anofanira kutsiviwa.+ 21 Asi kana akaramba ari mupenyu kwezuva rimwe chete kana maviri, haafaniri kutsiviwa, nekuti munhu waakatenga nemari yake.
22 “Kana varume vakarwisana, vokuvadza mukadzi ane pamuviri uye mukadzi wacho osununguka nguva yake isati yakwana*+ asi pasina afa,* apara mhosva wacho anofanira kuripa zvaanenge anzi aripe nemurume wemukadzi wacho; uye muripo wacho unofanira kusvitswa nekuvatongi.+ 23 Asi kana paine afa, munofanira kutsiva upenyu neupenyu,*+ 24 ziso neziso, zino nezino, ruoko neruoko, tsoka netsoka,+ 25 kutsva nekutsva, ronda neronda, kukuvadzwa nekukuvadzwa.
26 “Kana munhu akarova ziso remurandarume wake kana kuti ziso remurandasikana wake rofa, anofanira kumurega achienda akasununguka, kuti zvitsive ziso rake.+ 27 Uye kana akarova murandarume wake kana kuti murandasikana wake obva zino, anofanira kumurega achienda akasununguka, kuti zvitsive zino rake.
28 “Kana mombe ikatunga murume kana kuti mukadzi, ofa, mombe yacho inofanira kuurayiwa ichiita zvekutemwa nematombo,+ uye nyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wemombe yacho haafaniri hake kurangwa. 29 Asi kana mombe yacho yaigara ichitunga uye muridzi wayo akayambirwa ndokurega kuichengetedza, youraya murume kana mukadzi, mombe yacho inofanira kutemwa nematombo uye muridzi wayo anofanirawo kuurayiwa. 30 Kana akatarirwa kuti abhadhare rudzikinuro, anofanira kupa mutengo unodzikinura upenyu hwake* maererano nezvese zvaanenge atarirwa. 31 Izvi ndizvo zvinofanira kuitirwa muridzi wemombe yacho, ingava yakatunga mwanakomana kana kuti mwanasikana. 32 Kana mombe yacho yakatunga murandarume kana kuti murandasikana, muridzi wayo acharipa tenzi wemunhu iyeye mashekeri* 30, uye mombe yacho ichaurayiwa ichiita zvekutemwa nematombo.
33 “Kana munhu akavhura kana kuti akachera gomba orega kurivhara, uye mombe kana kuti dhongi rowira imomo, 34 muridzi wegomba racho anofanira kuripa.+ Anofanira kuripa muridzi wemhuka yacho mutengo wayo, uye mhuka yakafa ichava yake. 35 Kana mombe yemunhu ikakuvadza mombe yemumwe uye yofa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vogovana mutengo wayo; vanofanirawo kugovana yakafa yacho. 36 Asi kana zvakanga zvichizivikanwa kuti yaigara ichitunga asi muridzi wayo aisaichengetedza, anofanira kuripa mombe nemombe, uye yakafa yacho ichava yake.
22 “Kana munhu akaba mombe kana kuti gwai ouraya kana kuti otengesa, anofanira kuripa mombe yacho nemombe shanu, uye gwai racho nemakwai mana.+
2 (“Kana mbavha+ ikawanikwa ichipaza, yobva yarohwa, yofa, aiuraya wacho haana mhosva yekudeura ropa. 3 Asi kana zvikaitika zuva rabuda, aiuraya wacho ane mhosva yekudeura ropa.)
“Munhu aba anofanira kuripa. Kana asina chinhu, anofanira kutengeswa kuti aripe zvinhu zvaakaba. 4 Kana akawanikwa aine chinhu chaakaba chiri chipenyu, ingava mombe kana dhongi kana gwai, anofanira kuripa zvapetwa kaviri.
5 “Kana munhu akaendesa zvipfuwo zvake kunofura kumunda wembesa kana wemizambiringa ozvirega zvichidya munda wemumwe munhu, anofanira kuripa nezvakanakisisa zvemunda wake wembesa kana kuti zvakanakisisa zvemunda wake wemizambiringa.
6 “Kana moto ukatanga, wopararira uchipisa makwenzi, uye wopisa zviyo zvakachekwa kana kuti zvisati zvachekwa kana kuti munda, munhu abatidza moto wacho anofanira kuripa zvinenge zvatsva.
7 “Kana munhu akachengetesa mumwe wake mari kana kuti zvimwe zvinhu uye zvobiwa zviri kumba kwake, kana mbavha yacho ikabatwa, inofanira kuripa zvapetwa kaviri.+ 8 Kana mbavha yacho ikasawanikwa, muridzi wemba anofanira kuunzwa pamberi paMwari wechokwadi+ kuti vaone kana asina kuisa ruoko rwake pazvinhu zvemumwe wake. 9 Panyaya dzese dzekuti munhu anowanikwa aine zvinhu zvisiri zvake, zvakadai semombe, dhongi, gwai, chipfeko, kana chinhu chero chipi zvacho chakarasika chaangataura nezvacho achiti, ‘Ndechangu!’ vese vari vaviri vanofanira kuuya nenyaya yavo kuna Mwari wechokwadi.+ Anenge anzi naMwari ane mhosva anofanira kuripa mumwe wake zvakapetwa kaviri.+
10 “Kana munhu akachengetesa mumwe wake dhongi, kana mombe, kana gwai, kana chimwewo chipfuwo uye chofa kana kuti choremadzwa kana kuti chotinhwa pasina ari kuona, 11 akachengeteswa wacho anofanira kupika pamberi paJehovha kuti haana kutora zvinhu zvemumwe wake; uye muridzi wacho anofanira kuzvibvuma. Akachengeteswa wacho haafaniri kuripa.+ 12 Asi kana akabirwa chipfuwo chacho, anofanira kuripa muridzi wacho. 13 Kana chakabvamburwa nechikara, anofanira kuuya nacho kuti chive uchapupu. Haafaniri kuripa chinhu chakabvamburwa nechikara.
14 “Asi kana munhu akakwereta chipfuwo chemumwe wake, choremadzwa kana kuti chofa, chisiri mumaoko emuridzi wacho, munhu wacho akakwereta anofanira kuripa. 15 Kana muridzi wacho ainacho, haafaniri kuripa. Kana chiri kushandiswa chichiita zvekubhadharwa, mari yakabhadharwa yacho ndiyo inoripa.
16 “Kana munhu akanyengedza mhandara isati yavimbiswa kuroorwa, orara nayo, anofanira kumubvisira roora kuti ave mudzimai wake.+ 17 Kana baba vake vakaramba naye zvachose, munhu wacho anofanira kuripa mari inoenzanirana neyeroora.
18 “Usarega muroyi wechikadzi ari mupenyu.+
19 “Munhu wese anorara nemhuka anotofanira kuurayiwa.+
20 “Munhu wese anopa chibayiro kune vamwe vanamwari kunze kwaJehovha anofanira kuparadzwa.+
21 “Usabata mutorwa zvisina kunaka kana kumudzvinyirira,+ nekuti imi maimbova vatorwa munyika yeIjipiti.+
22 “Musatambudza chirikadzi kana kuti nherera.+ 23 Kana ukaitambudza, iyo ikandichemera, chokwadi ndichanzwa kuchema kwayo;+ 24 ndichatsamwa kwazvo, uye ndichakuurayai nebakatwa, madzimai enyu achava chirikadzi, uye vana venyu vachava nherera.
25 “Kana ukakweretesa mari kumurombo ari pakati pevanhu vangu wauri kugara naye, usaite semunhu wechimbadzo. Usaita kuti akudzorere mari yacho yabereka.+
26 “Kana ukapa munhu chikwereti wofanobata nguo yake,+ unofanira kuidzorera kwaari zuva risati ravira. 27 Nekuti ndiyo yega yaainayo, yekuti afukidze muviri wake; acharara akafugei?+ Paachandichemera, ndichatoti ndimunzwe, nekuti ndine tsitsi.*+
28 “Usatuka Mwari+ kana kutuka jinda riri pakati pevanhu vako.*+
29 “Usazengurira kupa zvibayiro kubva pazvibereko zvako zvakawanda nezvinofashukira zvechisviniro* chako.+ Unofanira kundipa dangwe revanakomana vako.+ 30 Izvi ndizvo zvaunofanira kuita nemombe yako uye gwai rako:+ Icharamba iri pamwe chete naamai vayo kwemazuva manomwe. Pazuva rechi8 unofanira kundipa.+
31 “Munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri,+ uye hamufaniri kudya nyama yechinhu chakabvamburwa kusango nechikara.+ Munofanira kuikandira imbwa.
23 “Usaparadzira mashoko asiri echokwadi.+ Usabatsirana nemunhu akaipa nekuva chapupu chinorongera mumwe zvakaipa.+ 2 Usatevera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa, uye usaita kuti nyaya itongwe zvisizvo nekupa uchapupu uchingotevedzera vanhu vakawanda. 3 Usasarura kana uchitonga nyaya yemurombo.+
4 “Kana ukaona mombe yemuvengi wako kana kuti dhongi rake rarasika, unofanira kuzvidzorera kwaari.+ 5 Kana ukaona kuti dhongi remunhu anokuvenga rakatsitsirirwa nemutoro waro, haufaniri kungorisiya woenda. Unofanira kumubatsira kurisunungura.+
6 “Usatonga zvisizvo mhosva yemurombo ari pakati penyu kana aunza nyaya yake kudare.+
7 “Siyana nekupomera zvenhema,* uye usauraya asina mhosva uye akarurama, nekuti handizoti munhu akaipa akarurama.*+
8 “Usagamuchira chiokomuhomwe, nekuti chinopofumadza varume vanoona nyaya zvakanaka uye chinogona kuita kuti vakarurama vamonyorore mashoko.+
9 “Usadzvinyirira mutorwa. Munoziva kuti mutorwa anonzwa sei* nekuti maimbova vatorwa munyika yeIjipiti.+
10 “Unofanira kudyara mbeu mumunda mako uchikohwa zvibereko zvawo kwemakore matanhatu.+ 11 Asi gore rechinomwe unofanira kuusiya wakadaro, usina kurimwa, uye varombo vari pakati pevanhu vako vachadya zvinobva mauri, uye zvavachasiya zvichadyiwa nemhuka dzesango. Izvozvo ndizvo zvaunofanira kuita nemunda wako wemizambiringa uye wemiorivhi.
12 “Unofanira kuita basa rako mazuva matanhatu; asi pazuva rechinomwe haufaniri kushanda, kuitira kuti nzombe yako nedhongi rako zvizorore uye kuti mwanakomana wemurandasikana wako nemutorwa vazorore.+
13 “Ivai nechokwadi chekuti maita zvese zvandakuudzai,+ uye musataura mazita evamwe vanamwari; haafaniri kunzwika pamiromo yenyu.+
14 “Munofanira kundiitira mutambo katatu pagore.+ 15 Muchachengeta Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso.+ Muchadya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe, sezvandakakurayirai, kana nguva yacho yasvika mumwedzi waAbhibhi,*+ nekuti ndipo pamakabuda muIjipiti. Hapana anofanira kuuya pamberi pangu achingova maoko chete.+ 16 Munofanirawo kuchengeta Mutambo Wekukohwa* wemichero inotanga kuibva yemabasa enyu, yezvamunodyara mumunda;+ uye Mutambo Wekuunganidza,* pakupera kwegore, pamunounganidza kumunda zvamakashandira.+ 17 Vanhurume venyu vese vanofanira kuuya pamberi paIshe wechokwadi, Jehovha, katatu pagore.+
18 “Usapa ropa rechibayiro changu pamwe chete nechinhu chine mbiriso. Uye zvibayiro zvemafuta zvinopiwa pamitambo yangu hazvifaniri kurara kusvikira mangwanani.
19 “Pazvibereko zvinotanga kuibva zvemunda wako, unofanira kuunza zvakanakisisa zvacho kuimba yaJehovha Mwari wako.+
“Usabika mbudzana nemukaka waamai vayo.+
20 “Ndiri kutuma ngirozi mberi kwenyu+ kuti ikuchengetedzei muri munzira uye kuti ikusvitsei kunzvimbo yandakakugadzirirai.+ 21 Iteererei, muite zvainotaura. Musaipandukira, nekuti haizokuregererei kudarika kwenyu,+ nekuti zita rangu riri pairi. 22 Asi, kana mukanyatsoteerera inzwi rayo, moita zvese zvandinotaura, ndicharwisa vavengi venyu uye ndichapikisana nevaya vanokupikisai. 23 Nekuti ngirozi yangu ichaenda mberi kwenyu, uye ichakusvitsai kuvaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaKenani, vaHivhi, nevaJebhusi, uye ndichavaparadza zvachose.+ 24 Musakotamira vanamwari vavo kana kufurirwa kuti muvashumire, uye musatevedzera zvavanoita.+ Asi munofanira kuparadza zvidhori zvavo, uye kuputsa shongwe dzavo dzinoyera.+ 25 Munofanira kushumira Jehovha Mwari wenyu,+ uye achakomborera zvekudya zvenyu nemvura yenyu.+ Ndichabvisa zvirwere pakati penyu.+ 26 Vakadzi vemunyika yenyu havazobvi pamuviri kana kushaya mbereko,+ uye ndichaita kuti murarame upenyu hwakareba.*
27 “Ndichaita kuti vanhu vanditye musati matombosvika,+ uye ndichavhiringidza vanhu vese vamuchasangana navo, uye ndichaita kuti mukunde vavengi venyu vese vokutizai.*+ 28 Ndichaita kuti vanhu vapere simba* musati masvika,+ uye ndichadzinga vaHivhi, vaKenani, nevaHiti pamberi penyu.+ 29 Handizovadzingi pamberi penyu mugore rimwe, kuti nyika irege kuva dongo, mhuka dzesango dzikakuwandirai.+ 30 Ndichavadzinga pamberi penyu zvishoma nezvishoma, kusvikira mawanda, matora nyika yacho yese.+
31 “Ndichaisa muganhu wako kubvira kuGungwa Dzvuku kusvikira kugungwa revaFiristiya uye kubvira kurenje kusvikira kuRwizi;*+ nekuti ndichaisa vagari vemunyika yacho muruoko rwako, uye uchavadzinga pamberi pako.+ 32 Usaita sungano navo kana navanamwari vavo.+ 33 Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukuita kuti unditadzire. Kana ukashumira vanamwari vavo, chokwadi uchava musungo kwauri.”+
24 Akabva ati kuna Mozisi: “Kwirai kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu,+ nevakuru vaIsraeri 70, mukotame muri nechekure. 2 Mozisi anofanira kuswedera kuna Jehovha ari ega; asi vamwe havafaniri kuswedera, uye vamwe vanhu vese havafaniri kukwira naye.”+
3 Mozisi akabva auya akaudza vanhu mashoko ese nemitongo yese yakapiwa naJehovha,+ vanhu vese vakapindura nenzwi rimwe chete, vachiti: “Tinobvuma kuita zvese zvataurwa naJehovha.”+ 4 Saka Mozisi akanyora pasi mashoko ese aJehovha.+ Akabva afumomuka, akavaka atari mujinga megomo uye akamisa matombo 12 aienderana nemadzinza 12 aIsraeri. 5 Pashure paizvozvo akatuma majaya evaIsraeri, uye vakapa zvibayiro zvinopiswa, vakabayira mikono yemombe kuti ive zvibayiro zverugare+ kuna Jehovha. 6 Mozisi akabva atora hafu yeropa racho, akaisa mumidziyo, uye imwe hafu yeropa racho akasasa paatari. 7 Akabva atora bhuku resungano, akariverengera vanhu.+ Uye vakati: “Tinobvuma kuita zvese zvataurwa naJehovha, uye tichamuteerera.”+ 8 Saka Mozisi akatora ropa, akarisasa pavanhu,+ akati: “Iri ndiro ropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano nemashoko ese aya.”+
9 Mozisi naAroni, Nadhabhi naAbhihu, nevakuru vaIsraeri 70 vakakwira, 10 vakaona Mwari waIsraeri.+ Pasi petsoka dzake pakanga pakaita sepakawaridzwa matombo esafaya uye pakachena sedenga.+ 11 Haana kuuraya varume vanokudzwa vevaIsraeri,+ uye vakaona Mwari wechokwadi muchiratidzo, vakadya, vakanwa.
12 Jehovha akazoti kuna Mozisi: “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo, woramba uripo. Ndichakupa mahwendefa ematombo nemutemo nemurayiro zvandichanyora kuti vazvidzidze.”+ 13 Saka Mozisi akasimuka aine mubatsiri wake Joshua,+ uye Mozisi akakwira mugomo raMwari wechokwadi.+ 14 Asi akasiya ati kuvakuru: “Timirirei pano kusvikira tadzoka.+ Muna Aroni naHeri.+ Munhu wese anenge aine nyaya inoda kutongwa ngaaende kwavari.”+ 15 Mozisi akabva akwira mugomo parakanga rakafukidzwa negore.+
16 Kubwinya kwaJehovha+ kwakaramba kuri paGomo reSinai,+ uye gore rakarifukidza kwemazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe akazoshevedza Mozisi ari mukati megore. 17 KuvaIsraeri vaiona, kubwinya kwaJehovha kwaiita semoto unoparadza uri pamusoro pegomo. 18 Mozisi akabva apinda mukati megore, akakwira pamusoro pegomo racho.+ Uye Mozisi akaramba ari pamusoro pegomo mazuva 40 neusiku 40.+
25 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 2 “Udza vaIsraeri kuti vandiunzire zvipo; munofanira kunditorera zvipo kumunhu wese anopa zvichibva pamwoyo.+ 3 Izvi ndizvo zvipo zvamunofanira kugamuchira kwavari: goridhe,+ sirivha,+ mhangura,+ 4 shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, shinda chena yakanaka, mvere dzembudzi, 5 matehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku, matehwe akapfava,* matanda emubayamhondoro,+ 6 mafuta emarambi,+ bharisamu yekugadzirisa mafuta ekuzodza nawo,+ neyekugadzirisa rusenzi inonhuhwirira,+ 7 nematombo eonikisi, nemamwe matombo ekuisa paefodhi*+ nepahomwe yepachipfuva.+ 8 Vanofanira kundigadzirira nzvimbo tsvene uye ndichagara* pakati pavo.+ 9 Unofanira kuigadzira, tebhenekeri yacho nemidziyo yayo yese, uchinyatsotevedzera zvese zvandiri kukuratidza.+
10 “Vanofanira kugadzira areka nemubayamhondoro, yakareba makubhiti* maviri nehafu, yakafara kubhiti rimwe nehafu uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 11 Unofanira kubva waiisa goridhe rakanatswa,+ yese mukati nekunze, uye ugadzire mupendero wegoridhe unoipoteredza.+ 12 Uye uiumbire marin’i mana egoridhe, woaisa nechepamusoro pemakumbo ayo mana, marin’i maviri ari kune rimwe divi uye mamwe maviri ari kune rimwe divi racho. 13 Uye ugadzire mapango emubayamhondoro, woaisa goridhe.+ 14 Upinze mapango acho mumarin’i ari kumativi eAreka kuti muashandise kuitakura. 15 Mapango acho achagara mumarin’i eAreka; haafaniri kubviswa pairi.+ 16 Uise muAreka yacho Chipupuriro chandichakupa.+
17 “Ugadzire chekukwidibirisa chegoridhe rakanatswa, chakareba makubhiti maviri nehafu uye chakafara kubhiti rimwe nehafu.+ 18 Ugadzire makerubhi maviri egoridhe; uagadzire ari kumativi maviri echekukwidibirisa chacho uchishandisa sando.+ 19 Gadzira makerubhi acho ari kumativi maviri, rimwe nerimwe riri kumucheto kwechekukwidibirisa. 20 Makerubhi acho anofanira kunge akatarisana, akavhurira mapapiro awo maviri kumusoro,+ achivharidzira chekukwidibirisa nemapapiro awo. Zviso zvemakerubhi zvinofanira kuva zvakakotamira pachekukwidibirisa. 21 Uise chekukwidibirisa+ pamusoro peAreka, uye uise Chipupuriro chandichakupa muAreka yacho. 22 Ndichazviratidza kwauri ipapo uye ndichataura newe ndiri pamusoro pechekukwidibirisa.+ Ndichaita kuti uzive zvese zvandichakurayira nezvevaIsraeri ndiri pakati pemakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro.
23 “Ugadzirewo tafura+ yemubayamhondoro, yakareba makubhiti maviri, yakafara kubhiti rimwe, uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 24 Uiise goridhe rakanatswa uye uigadzirire mupendero wegoridhe unoipoteredza. 25 Ugadzire bhandi rine upamhi hwechanza* rinenge rakaipoteredza, wozoisa mupendero wegoridhe unopoteredza bhandi racho. 26 Uigadzirire marin’i mana egoridhe, woaisa pamakona mana panobata napo makumbo acho. 27 Marin’i acho anofanira kuva pedyo nebhandi kuti abate mapango ekutakurisa tafura yacho. 28 Ugadzire mapango emubayamhondoro, woaisa goridhe, woatakurisa tafura.
29 “Unofanirawo kugadzira madhishi ayo, makapu ayo, uye majagi nendiro zvavachashandisa kudira mipiro yezvinwiwa. Uzvigadzire negoridhe rakanatswa.+ 30 Uye unofanira kuisa chingwa chekuratidza patafura kuti chive pamberi pangu nguva dzese.+
31 “Ugadzire chigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa. Chigadziko chacho ngachigadzirwe nesando. Pachinogara napo, chidzinde chacho, mapazi acho, makapu acho, mapfundo acho, nemaruva acho akatumbuka zvese ngazvibve pachinhu chimwe chete.+ 32 Chigadziko chacho chichange chiine mapazi matanhatu akabatira pachidzinde chacho, mapazi matatu kune rimwe divi uye mapazi matatu kune rimwe divi racho. 33 Makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi achange ari pamapazi ari kudivi rimwe chete, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Uye makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi ari pamapazi ekune rimwe divi racho, achange aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Izvi ndizvo zvichange zvakaita mapazi matanhatu akabatira pachidzinde chechigadziko chemarambi. 34 Chidzinde chechigadziko chemarambi chichange chiine makapu mana akaumbwa semaruva emuarumondi, aine mapfundo acho nemaruva acho akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. 35 Pasi pemapazi maviri ekutanga ari pachidzinde pachange paine pfundo uye pasi pemapazi maviri anotevera pachange paine pfundo uyewo pasi pemapazi maviri anozotevera acho pachange paine pfundo. Izvi ndizvo zvichange zvakaita mapazi matanhatu anobva pachidzinde chacho. 36 Mapfundo acho nemapazi acho nechigadziko chemarambi chacho chese, zvinofanira kugadzirwa pachishandiswa sando kuti zvive chinhu chimwe chete chegoridhe rakanatswa.+ 37 Uchigadzirire marambi manomwe, uye marambi acho paanobatidzwa, anenge akavhenekera nzvimbo iri pamberi pacho.+ 38 Zvekubvisisa tambo yapera kubvira* uye zvekuisira madota acho ngazvive zvegoridhe rakanatswa.+ 39 Chigadziko chacho, pamwe chete nemidziyo yacho yese, zvinofanira kugadzirwa netarenda* rimwe chete regoridhe rakanatswa. 40 Unofanira kuzvigadzira uchinyatsotevedzera zvese zvawaratidzwa mugomo.+
26 “Unofanira kugadzira tebhenekeri+ nemachira 10 etende akagadzirwa neshinda chena yakakoswa, shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* neshinda tsvuku. Uagadzire aine mifananidzo yemakerubhi+ yakaita zvekurukirirwa.+ 2 Jira rimwe nerimwe retende richange rakareba makubhiti* 28 uye rakafara makubhiti 4. Machira ese etende anofanira kunge akaenzana.+ 3 Machira 5 etende anofanira kubatanidzwa oita zijira rimwe chete, uye mamwe 5 obatanidzwawo oita zijira rimwe chete. 4 Ugadzire zvishwe zveshinda yebhuruu pamupendero wejira retende riri pekupedzisira peaya abatanidzwa, uye uitewo saizvozvo pamupendero wekunze wejira retende riri pekupedzisira kwemamwe abatanidzwa parichabatira napo. 5 Ugadzire zvishwe 50 pajira retende rimwe chete uye zvishwe 50 pamupendero werimwe jira retende kuitira kuti zvishwe zvacho zvinge zvakanangana panobatanidzwa machira acho. 6 Ugadzire zvekukochekera nazvo 50 zvegoridhe, wozvishandisa kubatanidza machira acho etende, kuti tebhenekeri ive chinhu chimwe chete.+
7 “Ugadzirewo machira etende emvere dzembudzi+ ekuisa pamusoro petebhenekeri. Ugadzire machira 11 etende.+ 8 Jira rimwe nerimwe retende richange rakareba makubhiti 30, uye rakafara makubhiti 4. Machira acho etende ese ari 11 anofanira kunge akaenzana. 9 Ubatanidze machira 5 etende pamwe chete, wobatanidza mamwe acho 6 pamwe chete, uye unofanira kupeta rechi6 racho nechekumberi kwetende racho. 10 Ugadzire zvishwe 50 pamupendero wejira retende rinenge riri kwekupedzisira pane akabatanidzwa acho, uye zvishwe 50 pamupendero werimwe racho rarichabatanidzwa naro. 11 Ugadzire zvekukochekera nazvo 50 zvemhangura, uzvikochekere muzvishwe wobatanidza machira acho kuti rive tende rimwe chete. 12 Machira etende achange akapfuura panogumira tebhenekeri achafanira kusiyiwa akarembera. Hafu yawo, icharembera nechekuseri kwetebhenekeri. 13 Mamwe acho anenge asara acharembera nekubhiti rimwe kudivi rimwe nerimwe retebhenekeri, kuti aifukidze.
14 “Unofanira kugadzirira tende racho chekufukidzisa chematehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku wozoisa pamusoro pacho chimwe chematehwe akapfava.*+
15 “Unofanira kugadzira mafuremu+ emapuranga emubayamhondoro ekumisa tebhenekeri.+ 16 Furemu rimwe nerimwe rinofanira kunge rakareba makubhiti 10, rakafara kubhiti nehafu. 17 Furemu rimwe nerimwe ngarive nezvimakumbo zvipfupi zviviri, chimwe chiri padivi pechimwe. Aya ndiwo magadziriro aunofanira kuita mafuremu acho ese etebhenekeri. 18 Unofanira kugadzira mafuremu 20 ekurutivi rwetebhenekeri rwakatarisa kumaodzanyemba.
19 “Unofanira kugadzira zvigadziko 40 zvesirivha zvine maburi+ zvinoiswa pasi pemafuremu 20: zvigadziko zviviri zvichange zviri pasi pefuremu rimwe chete munozopinda zvimakumbo zvaro zviviri, uye zvigadziko zviviri zvichange zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera munozopinda zvimakumbo zvaro zviviri.+ 20 Wogadzirira rumwe rutivi rwetebhenekeri rwekuchamhembe mafuremu 20 21 nezvigadziko zvawo zvesirivha 40, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera. 22 Kurutivi rwekumashure rwetebhenekeri kwakatarisa kumavirira, ugadzire mafuremu 6.+ 23 Ugadzire mafuremu maviri kuti ave mapango epamakona maviri ekumashure etebhenekeri. 24 Anofanira kuva nemapuranga maviri nechekuzasi ozonobatana nechekumusoro, parin’i yekutanga. Aya ndiwo magadzirirwo aanofanira kuitwa ari maviri, uye achava mapango maviri epakona. 25 Uye pachava nemafuremu 8 aine zvigadziko zvawo 16 zvesirivha zvine maburi, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera.
26 “Ugadzire mbariro 5 dzemubayamhondoro, dzekubatanidza nadzo mafuremu erimwe divi retebhenekeri,+ 27 uye mbariro 5 dzekubatanidza mafuremu erimwe divi retebhenekeri, nembariro 5 dzekubatanidza mafuremu edivi rekumavirira retebhenekeri, riri kumashure. 28 Mbariro yepakati inofanira kubva kumucheto ichisvika kumucheto ichipfuura nepakati chaipo pemafuremu.
29 “Uise goridhe pamafuremu acho,+ woagadzirira marin’i egoridhe kuti abate mbariro, uye unofanira kuisa goridhe pambariro dzacho. 30 Unofanira kumisa tebhenekeri yacho maererano nepurani yayo yawakaratidzwa mugomo.+
31 “Unofanira kugadzira keteni+ neshinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. Richagadzirwa riine mifananidzo yemakerubhi yakaita zvekurukirirwa. 32 Uriturike pambiru 4 dzematanda emubayamhondoro akaiswa goridhe. Zvekukochekera zvawo zvinofanira kuva zvegoridhe. Matanda acho anodzimikirwa pazvigadziko zvina zvesirivha. 33 Uite kuti keteni racho rirembere pazvekukochekera nazvo, wounza areka yeChipupuriro+ imomo mukati meketeni. Keteni racho richaparadzanisa Nzvimbo Tsvene+ neNzvimbo Tsvenetsvene.+ 34 Uise chekukwidibirisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri muNzvimbo Tsvenetsvene.
35 “Uise tafura kunze kweketeni, woisa chigadziko chemarambi+ kurutivi rwekumaodzanyemba mutebhenekeri imomo chakatarisana netafura yacho; uye tafura ichange iri kurutivi rwekuchamhembe. 36 Ugadzire keteni rekuvharisa musuo wetende uchishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+ 37 Ugadzirire keteni racho mbiru 5 dzematanda emubayamhondoro, wodziisa goridhe. Zvekukochekera zvacho zvinofanira kuva zvegoridhe, uye wogadzira zvigadziko zvine maburi zvishanu zvemhangura.
27 “Ugadzire atari yemubayamhondoro;+ inofanira kunge yakareba makubhiti* mashanu, uye yakafara makubhiti mashanu. Atari yacho inofanira kuva nemativi mana akaenzana, uye yakakwirira makubhiti matatu.+ 2 Ugadzire nyanga+ pamakona ayo mana; nyanga dzacho dzinofanira kunge dzakagadzirwa pamwe neatari yacho, uye uise atari yacho yese mhangura.+ 3 Ugadzire migomo yekuisira madota ayo,* pamwe nemafoshoro, ndiro, maforogo, nemidziyo yekuisira moto, uye ugadzire midziyo yayo yese nemhangura.+ 4 Uigadzirire sefa yakaitwa nemhangura dzakarukana-rukana, uye ugadzire marin’i mana pamakona mana esefa yacho. 5 Uipfekere mukati ichitangira nechepazasi pemupendero weatari, ichisvika pakati peatari yacho. 6 Ugadzire mapango emubayamhondoro epaatari, woaisa mhangura. 7 Mapango acho achapfekerwa mumarin’i kuitira kuti mapango acho ange ari kumativi maviri eatari painotakurwa.+ 8 Ugadzire atari yacho yakaita sebhokisi remapuranga rakavhurika. Inofanira kugadzirwa sezvaakakuratidza mugomo chaizvo.+
9 “Ugadzire chivanze+ chetebhenekeri. Kurutivi rwakatarisa kumaodzanyemba, chivanze chacho chichava nemaketeni anorembera akagadzirwa nejira reshinda chena yakakoswa, rutivi irworwo rwakareba makubhiti 100.+ 10 Chichange chiine mbiru 20 nezvigadziko 20 zvemhangura. Zvekukochekera zvembiru nezvekuzvibatanidza nazvo* ngazvive zvesirivha. 11 Maketeni anorembera ekuchamhembe achange akarebawo makubhiti 100, aine mbiru dzawo 20 nezvigadziko zvadzo 20 zvemhangura, nezvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvesirivha. 12 Panofanira kuva nemaketeni anorembera kurutivi rupfupi rwechivanze rwakatarisa kumavirira, akareba makubhiti 50, aine mbiru 10 nezvigadziko zvadzo 10. 13 Rutivi rupfupi rwechivanze rwakatarisa kumabvazuva rwakareba makubhiti 50. 14 Panofanira kuva nemakubhiti 15 emaketeni anorembera kurudyi rwepekupinda napo, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu.+ 15 Uye kuruboshwe rwepekupinda napo kuchava nemakubhiti 15 emaketeni anorembera, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu.
16 “Pekupinda napo muchivanze panofanira kuva neketeni rekuvhara naro rine mbiru ina nezvigadziko zvadzo zvina,+ rakareba makubhiti 20, rakagadzirwa neshinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+ 17 Mbiru dzese dzakapoteredza chivanze ngadzive nezvekusungisa zvesirivha, uye zvekukochekera nazvo zvesirivha asi zvigadziko zvadzo ngazvive zvemhangura.+ 18 Chivanze chacho chinofanira kunge chakareba makubhiti 100,+ chakafara makubhiti 50, uye jira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa rinenge rakachikomberedza rinofanira kunge rakareba makubhiti 5 kuenda mudenga, uye chinofanira kuva nezvigadziko zvemhangura. 19 Midziyo yese nezvinhu zvese zvinoshandiswa pabasa repatebhenekeri, kusanganisira hoko dzayo dzetende, nehoko dzese dzechivanze zvinofanira kuva zvemhangura.+
20 “Unofanira kurayira vaIsraeri kuti vakuunzire mafuta akasvinwa mumaorivhi, akachena, ekuisa mumarambi kuti agare achibvira.+ 21 Mutende rekusanganira, kunze kweketeni riri pedyo neChipupuriro,+ Aroni nevanakomana vake vanofanira kuita kuti marambi agare achibvira kubva manheru kusvikira mangwanani pamberi paJehovha.+ Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvavo zvese uye unofanira kuchengetwa nevaIsraeri.+
28 “Utore pakati pevaIsraeri Aroni mukoma wako nevanakomana vake kuti vashumire sevapristi vangu,+ Aroni,+ pamwe chete naNadhabhi naAbhihu,+ Eriyezari naItamari,+ vanakomana vaAroni.+ 2 Ugadzirire Aroni mukoma wako nguo tsvene, dzinoita kuti akudzwe uye dzakanaka.+ 3 Utaure nevanhu vese vane unyanzvi hwekugadzira zvinhu,* vaya vandakazadza nemweya weuchenjeri,+ kuti vagadzire nguo dzaAroni dzekuita kuti ave mutsvene, ashumire semupristi wangu.
4 “Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kugadzira: homwe yepachipfuva,+ efodhi,*+ nguo isina maoko,+ nguo refu yejira rakaita mabhokisi mabhokisi, ngowani,*+ nebhandi rejira;+ vanofanira kugadzirira Aroni mukoma wako nevanakomana vake nguo tsvene idzi, kuti ashumire semupristi wangu. 5 Vashandi vane unyanzvi hwekugadzira zvinhu vanofanira kushandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, neshinda chena yakanaka.
6 “Vanofanira kugadzira efodhi vachishandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, uye zvinofanira kurukirirwa pajira racho.+ 7 Inofanira kuva nezvidimbu zvemachira zvepamapfudzi zviviri zvinobatanidzwa kumicheto yazvo nechekumusoro. 8 Bhandi rakarukwa,+ rinosonererwa paefodhi rekuisunga kuti ibate, rinofanira kugadzirwa nezvinhu zvimwe chetezvo zvakagadziriswa efodhi yacho zvinoti: goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.
9 “Utore matombo maviri eonikisi,+ wonyora mazita evanakomana vaIsraeri paari,+ uchiita zvekutemera, 10 mazita matanhatu padombo rimwe chete uye mamwe mazita matanhatu pane rimwe racho, akarongwa maererano nekuberekwa kwavo. 11 Munhu anonyora pamatombo achiita zvekutemera achanyora mazita evanakomana vaIsraeri pamatombo acho maviri, sezvaanoita paanotemera mashoko pachidhindo.*+ Unofanira kuzoaisa muzvibatiso zvegoridhe. 12 Uise matombo acho maviri pazvidimbu zvemachira eefodhi epamapfudzi, kuti ave matombo ekuyeuchidza vanakomana vaIsraeri,+ uye Aroni ngaatakure mazita avo pamberi paJehovha pamachira ake maviri epamapfudzi kuti chive chiyeuchidzo. 13 Ugadzire zvibatiso zvegoridhe, 14 necheni mbiri dzegoridhe rakanatswa dzakaita setambo yakakoswa,+ wodzisungirira pazvibatiso zvacho.+
15 “Ita kuti munhu anomenda machira agadzire homwe yepachipfuva yekutonga.+ Inofanira kugadzirwa nezvakashandiswa pakugadzira efodhi zvinoti, goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+ 16 Painenge yapetwa inofanira kuva nemativi mana akaenzana, yakareba sipani* imwe chete uye yakafara sipani imwe chete. 17 Uise matombo pairi, pave nemitsara mina yematombo. Mutsara wekutanga ngauve nerubhi, topazi, neemaradhi. 18 Mutsara wechipiri ngauve netekoizi, safaya, nejaspa. 19 Mutsara wechitatu ngauve nereshemu,* agati, neametesti. 20 Mutsara wechina ngauve nekrisoriti, onikisi, nejedhi. Anofanira kuiswa mutumafuremu twegoridhe. 21 Matombo acho achaenderana nemazita evanakomana 12 vaIsraeri. Dombo rimwe nerimwe rinofanira kunyorwa richiita zvekutemerwa sezvinoitwa panonyorwa mashoko pachidhindo, zita rimwe nerimwe richimiririra rimwe remadzinza acho 12.
22 “Ugadzire cheni dzakamonwa pahomwe yepachipfuva, dzakaita setambo dzegoridhe rakanatswa.+ 23 Ugadzire marin’i maviri egoridhe pahomwe yepachipfuva uye uise marin’i acho maviri kumicheto yehomwe yepachipfuva. 24 Upinze tambo dzacho mbiri dzegoridhe nemumarin’i maviri ari kumicheto yehomwe yepachipfuva. 25 Upinze miromo miviri yetambo dzacho mbiri nemuzvibatiso zviviri, woita kuti zvibate machira epamapfudzi eefodhi, nechekumberi. 26 Ugadzire marin’i maviri egoridhe, woaisa kumicheto miviri iri nechemukati mehomwe yacho kwakagumha efodhi.+ 27 Ugadzire mamwe marin’i maviri egoridhe pamberi peefodhi, pazasi pemachira maviri epamapfudzi, pedyo nepaanobatana nayo, pamusoro pebhandi rakarukwa reefodhi.+ 28 Homwe yepachipfuva inofanira kubatwa netambo yebhuruu, ichisunganidzwa marin’i ayo nemarin’i eefodhi. Izvi zvichaita kuti homwe yepachipfuva igare iri panzvimbo payo paefodhi, pamusoro pebhandi rakarukwa.
29 “Aroni anofanira kutakura mazita evanakomana vaIsraeri pahomwe yepachipfuva yekutonga yakafukidza pamwoyo pake paanopinda muNzvimbo Tsvene kuti chigare chiri chiyeuchidzo pamberi paJehovha. 30 Uise Urimu neTumimu*+ muhomwe yepachipfuva yekutonga, uye ngazvive pamwoyo paAroni paanouya pamberi paJehovha, uye Aroni anofanira kutakura zvinoshandiswa pakutonga vaIsraeri pamwoyo pake pamberi paJehovha nguva dzese.
31 “Unofanira kugadzira nguo isina maoko yekupfeka pasi peefodhi uchishandisa shinda yebhuruu chete.+ 32 Kumusoro kwayo* nechepakati payo panofanira kunge pakavhurika. Pakavhurika pacho ngapaiswe nemugadziri wemachira mupendero unopatenderedza. Panofanira kunge pakavhurika sezvakaita penguo yemurwi yesimbi, kuti parege kubvaruka. 33 Unofanira kugadzira mapomegraneti* neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, uye shinda tsvuku uchitenderedza mupendero wayo wese, wogadzirawo mabhero egoridhe ari pakati pawo. 34 Unofanira kutenderedza mupendero wenguo yacho uchiisa apa bhero regoridhe apa pomegraneti, apa bhero regoridhe apa pomegraneti. 35 Inofanira kupfekwa naAroni pakushumira kwake, uye kurira kwemabhero acho ngakunzwike paanopinda munzvimbo tsvene pamberi paJehovha uye paanobuda, kuti arege kufa.+
36 “Unofanira kugadzira karata kanopenya kegoridhe rakanatswa, wokanyora uchiita zvekutemera sezvinoitwa chidhindo, wonyora kuti: ‘Utsvene ndehwaJehovha.’+ 37 Ukasungirire pangowani+ netambo yebhuruu; kanofanira kugara kari pamberi pengowani. 38 Kanenge kari pahuma yaAroni, uye Aroni achazvidavirira kana paine munhu anenge akanganisa chimwe chinhu pazvinhu zvitsvene,+ zvinotsaurwa nevaIsraeri vachipa sezvipo zvitsvene. Kanofanira kugara kari pahuma yake, kuitira kuti vagamuchirwe pamberi paJehovha.
39 “Unofanira kuruka nguo refu yejira rakanaka rakaita mabhokisi mabhokisi, ngowani yejira rakanaka, uye bhandi rejira.+
40 “Ugadzirewo nguo refu, mabhandi emachira, uye zvekupfeka mumusoro zvevanakomana vaAroni,+ zvinoita kuti vakudzwe uye zvakanaka.+ 41 Upfekedze Aroni mukoma wako nevanakomana vake vaainavo, uvazodze+ uye uvagadze,*+ wovatsvenesa, uye vachashumira sevapristi vangu. 42 Uvagadzirirewo zvikabudura* zvejira kuti vafukidze nyama yavo isina kufukidzwa.+ Zvinofanira kutangira muchiuno kusvikira muzvidya. 43 Zvinofanira kupfekwa naAroni nevanakomana vake pavanopinda mutende rekusanganira kana kuti pavanoenda paatari kuti vashumire munzvimbo tsvene, kuitira kuti varege kutadza, vofa. Uyu murau nekusingagumi kwaari nekuvana* vake vanomutevera.
29 “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvatsvenese kuti vandishumire sevapristi: Tora mukono mudiki wemombe, makondohwe maviri akanaka,+ 2 chingwa chisina mbiriso, zvingwa zveraundi* zvisina mbiriso zvakasanganiswa nemafuta, uye zvingwa zvitete zvisina mbiriso zvakazorwa mafuta.+ Uzvibike nefurawa yakatsetseka yegorosi 3 wozviisa mutswanda, wouya nazvo zviri mutswanda yacho,+ uyewo mukono wacho nemakondohwe acho maviri.
4 “Uuye naAroni nevanakomana vake kusuo retende rekusanganira,+ uvageze nemvura.+ 5 Unofanira kuzotora zvipfeko zvacho,+ wopfekedza Aroni nguo refu, nenguo isina maoko inopfekwa nayo efodhi,* neefodhi yacho, nehomwe yepachipfuva, wonyatsosungirira bhandi rakarukwa muchiuno make.+ 6 Uise ngowani* mumusoro make woisa karata katsvene kegoridhe* pangowani yacho;+ 7 wotora mafuta ekuzodza nawo,+ woadururira mumusoro make, womuzodza.+
8 “Wobva watora vanakomana vake, wovapfekedza nguo dzacho refu,+ 9 wovasunga nemabhandi emachira, Aroni pamwe nevanakomana vake, uye wovapfekedza ngowani dzavo; uye upristi hunofanira kuva hwavo semurau ucharamba uripo.+ Izvi ndizvo zvaunofanira kuita pakugadza Aroni nevanakomana vake kuti vashumire sevapristi.*+
10 “Unofanira kuzouya nemukono wemombe pamberi petende rekusanganira, uye Aroni nevanakomana vake vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wemukono wacho.+ 11 Uurayire mukono wacho pamberi paJehovha, pasuo retende rekusanganira.+ 12 Utore rimwe ropa remukono wacho nemunwe wako, woriisa panyanga dzeatari,+ wodira rimwe rese rinenge rasara muzasi meatari.+ 13 Wobva watora mafuta ese+ ari paura nepachiropa, uye itsvo mbiri nemafuta ari padziri, wozvipisa kuti zvipfungaire paatari.+ 14 Asi nyama yemukono wacho nedehwe rawo nendove yawo, uzvipise nemoto kunze kwemusasa. Icho chibayiro chechivi.
15 “Ibva watora gondohwe rimwe chete, uye Aroni nevanakomana vake vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 16 Uuraye gondohwe racho, wotora ropa raro, worisasa kumativi ese eatari.+ 17 Uricheke-cheke, wosuka ura hwaro+ nemazondo aro, woronga nyama yacho pamwe chete nemusoro waro. 18 Unofanira kupisa gondohwe racho rese, ripfungaire paatari. Icho chibayiro chinopisirwa Jehovha, chinonhuhwirira zvakanaka.*+ Chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha.
19 “Unofanira kuzotora rimwe gondohwe racho, uye Aroni nevanakomana vake vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 20 Uuraye gondohwe racho, wotora rimwe ropa raro woriisa pamucheto penzeve yaAroni yekurudyi nechekuzasi kwayo, nepenzeve dzekurudyi dzevanakomana vaAroni nepazvigunwe zvikuru zvemaoko avo erudyi, nepazvigunwe zvikuru zvetsoka dzavo dzerudyi, uye usase ropa racho kumativi ese eatari. 21 Chibva watora rimwe ropa riri paatari nemamwe mafuta ekuzodza nawo,+ uzvisase pana Aroni nenguo dzake nepavanakomana vake nenguo dzavo, kuti iye ave mutsvene pamwe chete nenguo dzake nevanakomana vake nenguo dzavo.+
22 “Chibva watora mafuta pagondohwe racho, muswe une mafuta, mafuta ari paura, neari pachiropa, neitsvo mbiri nemafuta ari padziri,+ negumbo rerudyi, nekuti iro igondohwe rekugadza naro.+ 23 Utorewo chingwa cheraundi, nechimwe cheraundi chakakanyiwa nemafuta chine buri pakati, nechingwa chitete, zviri mutswanda yechingwa chisina mbiriso iri pamberi paJehovha. 24 Uzviise zvese mumaoko aAroni nemumaoko evanakomana vake, uye unofanira kuzvivheyesa, uve mupiro unovheyeswa pamberi paJehovha. 25 Chibva wazvitora mumaoko avo wozvipisa paatari, pamusoro pechibayiro chinopiswa, kuti zvinhuhwirire zvakanaka* pamberi paJehovha. Icho chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha.
26 “Chibva watora chityu* chegondohwe rekugadzwa+ kwaAroni, uchivheyese kuti chive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha, uye chichava mugove wako. 27 Unofanira kuita kuti zvinhu izvi zvive zvitsvene: chityu chechibayiro chinovheyeswa, negumbo remugove mutsvene wakavheyeswa, wakabviswa pagondowe rekugadzwa+ kwaAroni nevanakomana vake. 28 Zvinofanira kuva zvaAroni nevanakomana vake maererano nemurau unofanira kugara uripo uchitevedzerwa nevaIsraeri, nekuti iwo mugove mutsvene, uye uchava mugove mutsvene unopiwa nevaIsraeri.+ Ndiwo mugove wavo mutsvene wavanopa Jehovha pazvibayiro zverugare.+
29 “Nguo tsvene+ dzaAroni dzichashandiswa nevanakomana vake+ vachamutevera pavanozodzwa uye pavanogadzwa sevapristi. 30 Mupristi anobva pavanakomana vake anomutsiva uye anopinda mutende rekusanganira kuti ashumire ari munzvimbo tsvene achadzipfeka kwemazuva manomwe.+
31 “Utore gondohwe rekugadza naro, wobikira nyama yaro munzvimbo tsvene.*+ 32 Aroni nevanakomana vake ngavadye+ nyama yegondohwe racho nechingwa chiri mutswanda pasuo retende rekusanganira. 33 Vanofanira kudya zvinhu zvakashandiswa pakuyananiswa kuti vagadzwe sevapristi* uye vaitwe vatsvene. Asi munhu asingabvumirwi* haafaniri kuzvidya, nekuti zvinhu zvitsvene.+ 34 Kana paine nyama yechibayiro chekugadza nacho nechingwa chacho zvinosara kusvikira mangwanani, unofanira kubva wapisa zvinosara zvacho nemoto.+ Hazvifaniri kudyiwa, nekuti zvinhu zvitsvene.
35 “Unofanira kuitira Aroni nevanakomana vake zvese zvandakurayira. Uchatora mazuva manomwe uchivagadza sevapristi.*+ 36 Upe mukono wemombe wechibayiro chekufukidza chivi zuva nezuva, uye unofanira kuita kuti atari ive tsvene nekupa chibayiro ichi chekufukidza chivi, wodira mafuta pairi kuti ive tsvene.+ 37 Uchatora mazuva manomwe uchipa chibayiro chekufukidza chivi paatari, uye unofanira kuitsvenesa kuti ive atari tsvenetsvene.+ Munhu wese anobata atari yacho anofanira kunge ari mutsvene.
38 “Izvi ndizvo zvauchafanira kugara uchibayira paatari: makondohwe ane gore rimwe chete, maviri pazuva.+ 39 Ubayire rimwe racho mangwanani, wozobayira rimwe racho panguva yerubvunzavaeni.*+ 40 Chegumi cheefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta akasvinwa anokwana chikamu chimwe pazvikamu zvina zvehini,* nemupiro wechinwiwa wewaini inokwana chikamu chimwe pazvikamu zvina zvehini, zvichapiwa pakubayira gondohwe diki rekutanga. 41 Ubayire gondohwe diki rechipiri racho panguva yerubvunzavaeni,* pamwe nemipiro mimwe cheteyo yezviyo neyechinwiwa seyawapa mangwanani. Uripe kuti rive kunhuhwirira kwakanaka,* mupiro unopiswa nemoto unoitirwa Jehovha. 42 Uyu unofanira kuva mupiro unopiswa uchagara uchiitwa muzvizvarwa zvenyu zvese pasuo retende rekusanganira pamberi paJehovha, pandichazviratidza kwauri kuti nditaure newe ipapo.+
43 “Ndichazviratidza kuvaIsraeri ipapo, uye nzvimbo iyoyo ichatsveneswa nekubwinya kwangu.+ 44 Ndichatsvenesa tende rekusanganira uye atari, uye ndichatsvenesa Aroni nevanakomana vake+ kuti vashumire sevapristi vangu. 45 Ndichagara* pakati pevaIsraeri, uye ndichava Mwari wavo.+ 46 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa munyika yeIjipiti kuti ndigare pakati pavo.+ Ndini Jehovha Mwari wavo.
30 “Unofanira kugadzira atari kuti ive nzvimbo yekupisira rusenzi;+ uigadzire nemubayamhondoro.+ 2 Inofanira kuva nemativi mana akaenzana, yakareba kubhiti* rimwe, yakafara kubhiti rimwe, uye yakakwirira makubhiti maviri. Nyanga dzayo dzinofanira kunge dzakagadzirwa pamwe nayo.+ 3 Uiise goridhe rakanatswa: pamusoro payo, mumativi ayo ese, nenyanga dzayo; uye uigadzirire mupendero wegoridhe unoipoteredza. 4 Ugadzirewo marin’i maviri egoridhe nechepazasi pemupendero wayo kudivi rimwe nerimwe remativi maviri akatarisana; aya achabata mapango ekuitakurisa. 5 Ugadzire mapango emubayamhondoro woaisa goridhe. 6 Uigadzike pamberi peketeni riri pedyo neareka yeChipupuriro,+ pamberi pechekukwidibirisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichazviratidza kwauri.+
7 “Aroni+ achapisira rusenzi inonhuhwirira+ pairi,+ achiita kuti ipfungaire paatari paanenge achishanda pamarambi+ mangwanani ega ega. 8 Uyewo Aroni paanobatidza marambi panguva yerubvunzavaeni,* achapisa rusenzi. Uku kupisira Jehovha rusenzi kuchagara kuchiitwa muzvizvarwa zvenyu zvese. 9 Musapisira pairi rusenzi isingabvumirwi+ kana kupa chibayiro chinopiswa kana mupiro wezviyo, uye musadururira mupiro wechinwiwa pairi. 10 Aroni anofanira kuisa rimwe ropa rechibayiro chechivi+ panyanga dzeatari kuti aichenese. Anofanira kuzviita kamwe chete pagore+ muzvizvarwa zvenyu zvese kuti aiite tsvene. Iyo itsvenetsvene kuna Jehovha.”
11 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 12 “Pese paunoverenga vanakomana vaIsraeri+ kuti uzive kuti vakawanda sei, mumwe nemumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rweupenyu hwake* panguva yavanenge vachiverengwa. Izvi zvinoitirwa kuti varege kuunzirwa dambudziko pavanenge vachiverengwa. 13 Vese vanenge vaverengwa vanofanira kupa hafu yeshekeri* inoenderana neshekeri renzvimbo tsvene.*+ Shekeri rakaenzana nemagera* 20. Hafu yeshekeri ndiyo inopiwa Jehovha.+ 14 Munhu wese anenge averengwa ane makore 20 zvichikwira achapa mupiro waJehovha.+ 15 Vapfumi havafaniri kupa zvakawanda uye varombo havafaniri kupa zviri pasi pehafu yeshekeri* semupiro kuna Jehovha kuti upenyu hwenyu huyananiswe.* 16 Unofanira kutora mari yesirivha yekuyananisa kuvaIsraeri, woishandisa pabasa repatende rekusanganira, chova chiyeuchidzo pamberi paJehovha chevaIsraeri, kuti upenyu hwenyu huyananiswe.”*
17 Jehovha akataurazve naMozisi achiti: 18 “Gadzira mudziyo wemhangura wekuisira mvura yekugeza nechigadziko chawo;+ wobva wauisa pakati petende rekusanganira neatari, woisa mvura mukati mawo.+ 19 Aroni nevanakomana vake ngavagezere maoko avo netsoka dzavo ipapo.+ 20 Pavanopinda mutende rekusanganira kana kuti pavanoswedera pedyo neatari kuti vanoshumira nekupa Jehovha zvibayiro zvemoto, vanofanira kugeza nemvura kuti varege kufa. 21 Vanofanira kugeza maoko avo netsoka dzavo kuti varege kufa, uye uyu murau wavanofanira kugara vachichengeta, iye nevana vake, muzvizvarwa zvavo zvese.”+
22 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 23 “Chibva watora zvinhu zvinonhuhwirira zvakanaka kwazvo zvinoti: mashekeri 500 emura, mashekeri 250 esinamoni inotapira, mashekeri 250 ekaramusi inonhuhwirira, 24 nemashekeri 500 ekasiya anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene,*+ pamwe nemafuta emaorivhi anokwana hini* imwe chete. 25 Chibva wazvishandisa kugadzira mafuta matsvene ekuzodza nawo; zvinofanira kusanganiswa zvine unyanzvi.*+ Anofanira kuva mafuta matsvene ekuzodza nawo.
26 “Unofanira kuashandisa kuzodza tende rekusanganira+ neareka yeChipupuriro, 27 netafura nemidziyo yayo yese, nechigadziko chemarambi, nemidziyo yacho, neatari yerusenzi, 28 neatari yekupisira zvibayiro nemidziyo yayo yese, nemudziyo wekuisira mvura yekugeza nepekuugadzika. 29 Unofanira kuzvitsvenesa kuti zvive zvitsvenetsvene.+ Munhu wese anozvibata anofanira kunge ari mutsvene.+ 30 Uye unofanira kuzodza Aroni+ nevanakomana vake,+ uvatsvenese kuti vandishumire sevapristi.+
31 “Uudze vaIsraeri kuti, ‘Aya acharamba ari mafuta angu matsvene ekuzodza nawo muzvizvarwa zvenyu zvese.+ 32 Haafaniri kuzorwa pamuviri wemunhu, uye hamufaniri kugadzira mafuta akasanganiswa sezvaakaitwa. Iwo matsvene. Anofanira kuramba ari matsvene kwamuri. 33 Munhu wese anogadzira mafuta ekuzora akafanana nawo uye anozora mutorwa* mafuta aya, anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.’”*+
34 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Tora uwandu hwakaenzana hwezvinonhuhwirira izvi:+ madonhwe esitakite, onika, garibhanamu inonhuhwirira, nezvinonhuhwirira zvichena. 35 Zvishandise kugadzira rusenzi;+ musanganiswa wacho unofanira kusanganiswa zvine unyanzvi,* wakarungwa nemunyu,+ wakachena, uye uri mutsvene. 36 Dzvura imwe yacho iite upfu hwakatsetseka, woisa imwe yacho pamberi peChipupuriro chiri mutende rekusanganira, mandichazviratidza kwauri. Ngaive tsvenetsvene kwamuri. 37 Hamufaniri kuzvigadzirira rusenzi yakaita seyamuchagadzira nemusanganiswa uyu.+ Munofanira kuiona sechinhu chitsvene kuna Jehovha. 38 Munhu wese anogadzira yakafanana nayo achiitira kuti anzwe kunhuhwirira kwayo anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.”*
31 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 2 “Ona, ndasarudza* Bhezareri+ mwanakomana waUrai mwanakomana waHeri wedzinza raJudha.+ 3 Ndichamuzadza nemweya waMwari kuti ave neuchenjeri, nekunzwisisa, neruzivo rwemabasa eumhizha emarudzi ese 4 hwekufunga magadzirirwo ezvinhu neunyanzvi, kushanda negoridhe, sirivha, nemhangura, 5 kuveza matombo nekuaronga,+ uye kugadzira zvivezwa zvemiti zvemarudzi ese.+ 6 Uyezve, ndagadza Ohoriyabhi+ mwanakomana waAhisamaki wedzinza raDhani kuti amubatsire, uye ndiri kuisa uchenjeri mumwoyo mevanhu vese vane unyanzvi,* kuti vagadzire zvinhu zvese zvandakakurayira zvinoti:+ 7 tende rekusanganira,+ areka yeChipupuriro+ nechekukwidibirisa+ chiri pairi, midziyo yese yetende, 8 tafura+ nemidziyo yayo, chigadziko chemarambi chegoridhe rakanatswa nemidziyo yacho yese,+ atari yerusenzi,+ 9 atari yekupisira zvibayiro+ nemidziyo yayo yese, mudziyo wekuisira mvura yekugeza nepekuugadzika pacho,+ 10 nguo dzakarukwa zvakanaka, nguo tsvene dzemupristi Aroni, nguo dzevanakomana vake dzekuti vashumire sevapristi,+ 11 mafuta ekuzodza nawo, uye rusenzi inonhuhwirira yenzvimbo tsvene.+ Ngavaite zvese zvandakakurayira.”
12 Jehovha akatizve kuna Mozisi: 13 “Taura nevaIsraeri uvaudze kuti, ‘Munofanira kuva nechokwadi kuti machengeta masabata angu,+ nekuti iwo chiratidzo pakati pangu nemi muzvizvarwa zvenyu zvese kuti muzive kuti ini, Jehovha, ndiri kukutsvenesai. 14 Munofanira kuchengeta Sabata, nekuti iro chinhu chitsvene kwamuri.+ Munhu wese anorisvibisa anofanira kuurayiwa. Kana pakava nemunhu anoita basa pariri, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*+ 15 Basa rinogona kuitwa kwemazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rekuzorora zvakakwana.+ Iro chinhu chitsvene kuna Jehovha. Munhu wese anoita basa pazuva reSabata anofanira kuurayiwa. 16 VaIsraeri vanofanira kuchengeta Sabata; vanofanira kuchengeta Sabata muzvizvarwa zvavo zvese. Iyo isungano ichagara iripo. 17 Iyo chiratidzo chichagara chiripo pakati pangu nevaIsraeri,+ nekuti Jehovha akaita denga nenyika mumazuva matanhatu uye pazuva rechinomwe akamira kushanda, akazorora.’”+
18 Paakangopedza kutaura naye muGomo reSinai, akapa Mozisi mahwendefa maviri eChipupuriro,+ mahwendefa edombo akanga akanyorwa nemunwe waMwari.+
32 Vanhu pavakaona kuti Mozisi akanga achinonoka kuburuka mugomo,+ vakaunganira Aroni, vakati kwaari: “Simuka utigadzirire mwari achatitungamirira,+ nekuti hatizivi kuti chii chakaitika kuna Mozisi uyu, murume uya akatibudisa munyika yeIjipiti.” 2 Aroni akabva ati kwavari: “Bvisai mhete dzegoridhe+ dziri panzeve dzemadzimai enyu, vanakomana venyu, nevanasikana venyu muuye nadzo kwandiri.” 3 Saka vanhu vese vakatanga kubvisa mhete dzegoridhe dzaiva panzeve dzavo vachiuya nadzo kuna Aroni. 4 Akabva atambira goridhe racho, akarigadzirisa mufananidzo wemhuru* achishandisa chekuvezesa.+ Ivo vakatanga kuti: “Uyu ndiye Mwari wako iwe Israeri, akakubudisa munyika yeIjipiti.”+
5 Aroni paakazviona, akavaka atari pamberi pemufananidzo wacho. Akabva ashevedzera kuti: “Mangwana kune mutambo uchaitirwa Jehovha.” 6 Saka vakafumomuka mangwana acho vakatanga kupa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare. Pashure paizvozvo vanhu vakagara pasi vakatanga kudya nekunwa. Vakabva vasimuka vakatanga kufara.+
7 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Buruka uende kuvanhu vako vawakabudisa munyika yeIjipiti, nekuti vazvisvibisa.+ 8 Vakurumidza kutsauka panzira yandakavarayira kuti vafambe nayo.+ Vazvigadzirira mufananidzo wemhuru,* uye vari kuukotamira vachibayira zvibayiro kwauri, vachiti, ‘Uyu ndiye Mwari wako iwe Israeri, akakubudisa munyika yeIjipiti.’” 9 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: “Ndaona kuti vanhu ava vakaoma musoro.*+ 10 Saka ndisiye ndivaparadze ndakatsamwa kudai, uye rega ndiite kuti iwe uve rudzi rukuru.”+
11 Mozisi akabva ateterera Jehovha Mwari+ achiti: “Jehovha, chokwadi mungabva mashatirirwa vanhu venyu here imi makavabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye neruoko rune simba?+ 12 Munoda here kuti vaIjipiti vazoti, ‘Aivafungira zvakaipa paakavabudisa muno. Aida kuvaurayira mumakomo uye kuvaparadza panyika’?+ Dzorai hasha dzenyu huru uye dzorai mwoyo wenyu,* murege kuunzira vanhu venyu dambudziko iri. 13 Yeukai vashumiri venyu Abrahamu, Isaka, naIsraeri, vamakavimbisa muchipika nemi pachenyu muchiti: ‘Ndichaita kuti vana* venyu vawande senyeredzi dzekudenga,+ uye ndichapa vana* venyu nyika yese iyi yandakasarudza, kuti vaitore ive yavo zvachose.’”+
14 Saka Jehovha akadzora mwoyo wake* akarega kuunza dambudziko raakanga ataura kuti aida kuunzira vanhu vake.+
15 Mozisi akabva atendeuka, ndokuburuka mugomo aine mahwendefa maviri eChipupuriro+ muruoko rwake.+ Mahwendefa acho akanga akanyorwa kumativi ese; akanga akanyorwa seri neseri. 16 Mahwendefa acho akanga ari basa raMwari, uye zvakanyorwa zvacho zvakanga zvanyorwa naMwari zvichiita zvekutemerwa pamahwendefa acho.+ 17 Joshua paakanzwa ruzha rwevanhu vaishevedzera, akati kuna Mozisi: “Mumusasa mune ruzha rwehondo.” 18 Asi Mozisi akati:
“Harusi ruzha rwekuimba kwevanhu vakunda,*
Uye harusi ruzha rwekuchema kwevanhu vakundwa;
Ruzha rwandiri kunzwa nderwekumwewo kuimba.”
19 Mozisi paakangosvika pedyo nemusasa ndokuona mhuru yacho,+ uye vanhu vachitamba, akashatirwa chaizvo, akakanda pasi mahwendefa aiva mumaoko ake, akaaputsira mujinga regomo.+ 20 Akatora mhuru yavakanga vagadzira akaipisa nemoto, akaikuya-kuya kusvikira yaita upfu;+ achibva azohumwayira mumvura, akainwisa vaIsraeri.+ 21 Uye Mozisi akati kuna Aroni: “Vanhu ava vakakuita sei kuti uzovaunzira chivi chikuru ichi?” 22 Aroni akapindura kuti: “Musashatirwa ishe wangu. Imi munonyatsoziva kuti vanhu ava vanongoda kuita zvakaipa chete.+ 23 Saka vakati kwandiri, ‘Tigadzirire mwari achatitungamirira, nekuti hatizivi kuti chii chakaitika kuna Mozisi uyu, murume uya akatibudisa munyika yeIjipiti.’+ 24 Saka ndakati kwavari, ‘Munhu wese ane goridhe ngaabvise andipe.’ Ndakabva ndarikanda mumoto, mukabuda mhuru iyi.”
25 Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vasina kuzvidzora nekuti Aroni akavasiya vakadaro, zvekuti vakanga vava kuzvinyadzisa pamberi pevavengi vavo. 26 Mozisi akabva amira pagedhi remusasa akati: “Ndiani ari kurutivi rwaJehovha? Ngaauye kwandiri!”+ Uye vaRevhi vese vakaungana kwaari. 27 Akabva ati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Mumwe nemumwe wenyu ngaasungirire bakatwa rake, apfuure nemumusasa kubva kune rimwe gedhi kusvika kune rimwe gedhi, achiuraya hama yake, muvakidzani wake, uye shamwari yake yepedyo.’”+ 28 VaRevhi vakaita zvakanga zvataurwa naMozisi. Saka varume vangasvika 3 000 vakaurayiwa musi iwoyo. 29 Mozisi akabva ati: “Zvitsaurei pane vamwe kuti mushumire Jehovha, nekuti mumwe nemumwe wenyu arwisana nemwanakomana wake uye hama yake;+ nhasi achakupai chikomborero.”+
30 Zuva rakatevera racho, Mozisi akati kuvanhu: “Makaita chivi chakakura, saka iye zvino ndava kukwira kuna Jehovha kuti ndione kana ndingagona kukuyananisai naye pachivi chenyu chamakaita.”+ 31 Saka Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati: “Chivi chakaitwa nevanhu ava chakakura! Kuzvigadzirira mwari wegoridhe!+ 32 Asi kana muchida henyu, varegererei chivi chavo;+ kana mukasavaregerera, ndidzimei henyu mubhuku renyu ramakanyora.”+ 33 Asi Jehovha akati kuna Mozisi: “Anenge anditadzira, ndiye wandichadzima mubhuku rangu. 34 Chienda, utungamirire vanhu kunzvimbo yandakakuudza nezvayo. Ona! Ngirozi yangu ichakutungamirira,+ uye pazuva randichavaongorora, ndichavaranga nemhaka yechivi chavo.” 35 Jehovha akatanga kutambudza vanhu nekuti vakanga vagadzira mhuru, iya yakanga yagadzirwa naAroni.
33 Jehovha akatizve kuna Mozisi: “Chisimuka uende nevanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti. Endai kunyika yandakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho, ndichiti, ‘Ndichaipa vana* vako.’+ 2 Ndichatuma ngirozi mberi kwako,+ ndodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi.+ 3 Endai kunyika inoyerera uchi nemukaka.+ Asi handisi kuzoenda ndiri pakati penyu, nekuti muri vanhu vakaoma musoro,*+ zvekuti ndingakuparadzai muchiri munzira.”+
4 Vanhu pavakanzwa shoko iri rinorwadza, vakatanga kuchema, uye hapana kana mumwe wavo akapfeka zvishongo zvake. 5 Jehovha akati kuna Mozisi: “Udza vaIsraeri kuti, ‘Muri vanhu vakaoma musoro.*+ Ndaigona kutopinda pakati penyu ndikakuparadzai nenguva pfupi.+ Iye zvino musapfeka zvishongo zvenyu ndichimbofunga zvekuita nemi.’” 6 Saka kubvira paGomo reHorebhi zvichienda mberi, vaIsraeri vakarega kupfeka* zvishongo zvavo.
7 Mozisi akabva atora tende rake, akaridzika kunze kwemusasa, kachinhambwe kubva kumusasa, ndokuritumidza kuti tende rekusanganira. Munhu wese ane zvaaida kubvunza Jehovha+ aienda kutende rekusanganira, rakanga riri kunze kwemusasa. 8 Mozisi paaingobuda achienda kutende racho, vanhu vese vaisimuka, vomira pamasuo ematende avo, voramba vakatarisa Mozisi kusvikira apinda mutende racho. 9 Mozisi paaingopinda mutende racho, shongwe yegore+ yaibva yadzika yomira pasuo retende, Mwari achitaura naMozisi.+ 10 Vanhu vese pavaiona shongwe yegore yakamira pasuo retende racho, mumwe nemumwe aisimuka okotama ari pasuo retende rake. 11 Jehovha aitaura naMozisi vakatarisana chiso nechiso,+ sezvinoita munhu achitaura nemumwe munhu. Paaidzokera kumusasa, Joshua+ mwanakomana waNuni, mushumiri uye mubatsiri wake,+ aisabva patende racho.
12 Mozisi akazoti kuna Jehovha: “Onai iye zvino muri kunditi, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi imi hamuna kundizivisa kuti ndiani wamuchandituma naye. Uyewo makati, ‘Ndinokuziva nezita,* uye ndakunzwirawo nyasha.’ 13 Ndapota zvangu, kana mandinzwira nyasha, ndizivisei nzira dzenyu,+ kuti ndikuzivei, uye kuti murambe muchindinzwira nyasha. Yeukaiwo kuti rudzi urwu vanhu venyu.”+ 14 Saka akati: “Ini pachangu ndichaenda* newe,+ uye ndichakuzorodza.”+ 15 Mozisi akabva ati kwaari: “Kana imi pachenyu musiri* kuendawo, musatibvisa pano. 16 Zvingazozivikanwa sei kuti mandinzwira nyasha, ini nevanhu venyu? Handiti kuenda kwenyu nesu+ ndiko kuchaita kuti ini nevanhu venyu tisiyaniswe nevanhu vese vari panyika?”+
17 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: “Ndichaitawo izvozvo zvawakumbira, nekuti ndakunzwira nyasha uye ndinokuziva nezita.” 18 Iye akabva ati: “Ndiratidzeiwo kubwinya kwenyu.” 19 Asi iye akati: “Ndichaita kuti kunaka kwangu kwese kupfuure nepamberi pako, uye ndichazivisa zita raJehovha pamberi pako;+ uye ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, uye ndichanzwira ngoni wandinoda kunzwira ngoni.”+ 20 Asi akawedzera kuti: “Haukwanisi kuona chiso changu, nekuti hakuna munhu angandiona akararama.”
21 Jehovha akatizve: “Heino nzvimbo iri pedyo neni. Mira padombo iro. 22 Kubwinya kwangu pakunenge kuchipfuura, ndichakuisa pakati pedombo rakatsemuka, uye ndichakuvharidzira neruoko rwangu kusvikira ndapfuura. 23 Kana ndapfuura ndichabvisa ruoko rwangu, uye iwe uchandiona nechekumashure kwangu. Asi chiso changu hachingaonekwi.”+
34 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Veza mahwendefa maviri ematombo akaita seekutanga,+ ndinyore pamahwendefa acho mashoko aiva pamahwendefa ekutanga,+ awakaputsa.+ 2 Gadzirira, nekuti mangwana mangwanani uchakwira muGomo reSinai, womira ipapo pamberi pangu, pamusoro pegomo racho.+ 3 Asi hapana munhu anofanira kukwira newe, uye hapana anofanira kuonekwa mugomo racho. Kunyange makwai nemombe hazvifaniri kufura pamberi pegomo iroro.”+
4 Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri ematombo akaita seekutanga. Akafumomuka ndokukwira muGomo reSinai, sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akaenda akabata mahwendefa maviri ematombo. 5 Jehovha akabva adzika+ ari mugore, akamira naye ipapo, akazivisa zita raJehovha.+ 6 Jehovha akanga achipfuura nepamberi pake achizivisa kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni+ netsitsi,*+ anononoka kutsamwa+ uye azere nerudo rusingachinji,*+ nechokwadi,*+ 7 anoratidza rudo rusingachinji kuzviuru,+ anoregerera kukanganisa, kutadza uye chivi,+ asi haazombosiyi munhu ane mhosva asina kurangwa,+ anoranga vanakomana nevazukurukomana nemhaka yekukanganisa kwemadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechizvarwa chechina.”+
8 Mozisi akabva akurumidza kupfugama, akadzikisa musoro wake. 9 Akabva ati: “Haiwa Jehovha, kana mandinzwira nyasha, ndapota, Jehovha, fambai muri pakati pedu,+ kunyange zvazvo tiri vanhu vakaoma musoro,*+ uye tiregerereiwo kukanganisa kwedu nechivi chedu,+ uye tioneiwo senhaka yenyu chaiyo.” 10 Iye akapindura kuti: “Ndava kuita sungano newe: Ndichaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pevanhu vako vese, zvisati zvamboitwa panyika pese kana pakati pemarudzi ese,+ uye vanhu vese vaunogara pakati pavo vachaona basa raJehovha, nekuti ndiri kukuitirai zvinhu zvinoshamisa.+
11 “Inzwa zvandiri kukurayira nhasi.+ Ndiri kudzinga vaAmori, vaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi pamberi pako.+ 12 Ngwarira kuti usaita sungano nevagari vemunyika yauri kuenda,+ nekuti zvinogona kuva musungo pakati penyu.+ 13 Asi munofanira kuputsa atari dzavo, moparadza shongwe dzavo dzinoyera, motema mapango avo anoyera.*+ 14 Usakotamira mumwe mwari,+ nekuti Jehovha anozivikanwa kuti anoda kuzvipira kwakazara.* Iye ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.+ 15 Ngwarira kuti usaita sungano nevagari vemunyika yacho, nekuti pavanoita unzenza navanamwari vavo, vopa zvibayiro kuna vanamwari vavo,+ mumwe munhu achakukoka wodya zvimwe zvinhu zvaanenge achibayira.+ 16 Iwe uchabva watorera vanakomana vako vamwe vanasikana vavo,+ uye vanasikana vavo vachaita unzenza navanamwari vavo, voita kuti vanakomana vako vaite unzenza navanamwari vavo.+
17 “Usazvigadzirira vanamwari vesimbi.+
18 “Unofanira kuchengeta Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso.+ Udye chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayira; ita izvi kwemazuva manomwe kana nguva yacho yasvika mumwedzi waAbhibhi,*+ nekuti wakabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi.
19 “Dangwe rese rechirume* nderangu,+ kusanganisira zvipfuwo zvako zvese, ungava mukono wekutanga wemombe kana wegwai.+ 20 Kana ari mwana wedhongi anotanga kuberekwa, unofanira kumudzikinura negwai. Asi kana ukasamudzikinura, unofanira kutyora mutsipa wake. Unofanira kudzikinura matangwe ese evanakomana vako.+ Hapana anofanira kuuya pamberi pangu achingova maoko chete.
21 “Unofanira kushanda mazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe unofanira kuzorora.*+ Kunyange panguva yekurima neyekukohwa, unofanira kuzorora.
22 “Upemberere Mutambo Wemavhiki negorosi rinotanga kuibva raunokohwa, uye upemberere Mutambo Wekuunganidza,* pakupera kwegore.+
23 “Vanhurume vako vese ngavauye pamberi paIshe wechokwadi, Jehovha, Mwari waIsraeri, katatu pagore.+ 24 Nekuti ndichadzinga marudzi pamberi pako,+ uye ndichakudza nharaunda yako, uye hapana munhu achachiva nyika yako paunenge uchienda kunoona chiso chaJehovha Mwari wako katatu pagore.
25 “Usapa ropa rechibayiro changu pamwe chete nechinhu chine mbiriso.+ Chibayiro chemutambo wePaseka hachifaniri kurara kusvikira mangwanani.+
26 “Pazvibereko zvinotanga kuibva zvevhu rako, unofanira kuunza zvakanakisisa zvacho kuimba yaJehovha Mwari wako.+
“Usabika mbudzana nemukaka waamai vayo.”+
27 Jehovha akatizve kuna Mozisi: “Unofanira kunyora mashoko aya,+ nekuti ndinoita sungano newe uye naIsraeri maererano nemashoko aya.”+ 28 Uye akaramba ari ikoko naJehovha kwemazuva 40 neusiku 40. Haana kudya zvekudya uye haana kunwa mvura.+ Uye akanyora* pamahwendefa mashoko esungano yacho, Mirayiro Gumi.*+
29 Mozisi akabva aburuka muGomo reSinai, uye mahwendefa maviri eChipupuriro aiva muruoko rwake.+ Paakaburuka mugomo, Mozisi haana kuziva kuti ganda rechiso chake raipenya nekuti akanga ataura naMwari. 30 Aroni nevaIsraeri vese pavakaona Mozisi, vakaona kuti ganda rechiso chake raipenya, uye vakatya kuswedera pedyo naye.+
31 Asi Mozisi akavashevedza, saka Aroni nemachinda ese eungano vakauya kwaari, Mozisi akataura navo. 32 Pashure paizvozvo, vaIsraeri vese vakaswedera pedyo naye, akavapa mirayiro yese yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai.+ 33 Mozisi paaipedza kutaura navo, aizvifukidza chiso chake.+ 34 Asi Mozisi paaipinda omira pamberi paJehovha kuti ataure naye, aibvisa chaakanga akazvifukidza nacho kusvikira abuda.+ Aibva abuda onoudza vaIsraeri mirayiro yaainge apiwa.+ 35 VaIsraeri vaiona kuti ganda rechiso chaMozisi riri kupenya; Mozisi aibva azvifukidza chiso chake kusvikira apinda kuti anotaura naMwari.+
35 Mozisi akazounganidza ungano yese yevaIsraeri, akati kwavari: “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kuti zviitwe:+ 2 Basa rinogona kuitwa kwemazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava dzvene kwamuri, sabata rezororo rakakwana kuna Jehovha.+ Munhu wese anoita basa pazuva iroro achaurayiwa.+ 3 Musabatidza moto munzvimbo dzenyu dzamunogara pazuva reSabata.”
4 Mozisi akabva ati kuungano yese yevaIsraeri: “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, 5 ‘Unganidzai zvipo zvekupa Jehovha pakati penyu.+ Munhu wese anoda kupa zvinobva pamwoyo+ ngaauye nezvipo kuna Jehovha: goridhe, sirivha, mhangura, 6 shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, shinda chena yakanaka, mvere dzembudzi,+ 7 matehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku, matehwe akapfava,* matanda emubayamhondoro, 8 mafuta emarambi, bharisamu yekugadzirisa mafuta ekuzodza nawo neyekugadzirisa rusenzi inonhuhwirira,+ 9 matombo eonikisi, nemamwe matombo ekuisa paefodhi+ nepahomwe yepachipfuva.+
10 “‘Vese vane unyanzvi*+ vari pakati penyu ngavauye vagadzire zvese zvakarayirwa naJehovha, 11 zvinoti, tebhenekeri pamwe netende rayo nechekufukidzisa chayo, zvekukochekera nazvo zvayo nemafuremu emapuranga ayo, mbariro dzayo, mbiru dzayo, nezvigadziko zvayo zvine maburi; 12 Areka+ nemapango ayo,+ chekukwidibirisa,+ neketeni+ rekuvharisa; 13 tafura+ nemapango ayo nemidziyo yayo yese nechingwa chekuratidza;+ 14 chigadziko chemarambi+ ekuvhenekesa nemidziyo yacho nemarambi acho nemafuta acho;+ 15 atari yerusenzi+ nemapango ayo; mafuta ekuzodza nawo nerusenzi inonhuhwirira;+ keteni rekuvharisa pasuo retebhenekeri; 16 atari yekupisira zvibayiro+ nesefa yayo yemhangura, mapango ayo nemidziyo yayo yese; mudziyo wekuisira mvura yekugeza nepekuugadzika pacho;+ 17 maketeni anorembera echivanze,+ mbiru dzawo nezvigadziko zvadzo zvine maburi; keteni rekuvharisa pasuo rechivanze; 18 hoko dzetende retebhenekeri nehoko dzetende dzechivanze netambo dzadzo;+ 19 nguo dzakarukwa+ zvakanaka dzekushumira nadzo munzvimbo tsvene, nguo tsvene dzemupristi Aroni,+ nenguo dzevanakomana vake dzekuti vashumire sevapristi.’”
20 Saka ungano yese yevaIsraeri yakabva pamberi paMozisi. 21 Munhu wese ainzwa mwoyo wake uchida+ uye aiva nechido chekupa akabva aunza zvipo kuna Jehovha kuti zvishandiswe patende rekusanganira, pabasa rese raiitwa ipapo, uye panguo tsvene. 22 Vakaramba vachiuya, varume pamwe chete nevakadzi, mumwe nemumwe aiva nechido chekupa, achiunza zvishongo zvaibayirirwa pazvipfeko, mhete, marin’i, nezvimwewo zvishongo, pamwe nezvinhu zvakagadzirwa negoridhe zvemarudzi ese. Vese vakapa mipiro* yavo yegoridhe kuna Jehovha.+ 23 Uye vese vaiva neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, shinda chena yakanaka, mvere dzembudzi, matehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku, nematehwe akapfava, vakauya nazvo. 24 Vese vaipa sirivha nemhangura vakauya nezvipo kuna Jehovha, uye vese vaiva nematanda emubayamhondoro ekushandisa pabasa racho vakauya nawo.
25 Vakadzi vese vaiva neunyanzvi+ hwekukosa shinda, vakadzikosa vakauya nadzo: shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, neshinda chena yakanaka. 26 Uye vakadzi vese vaiva neunyanzvi hwekukosa uye vainzwa mwoyo yavo ichida vakakosa mvere dzembudzi.
27 Uye machinda akauya nematombo eonikisi nemamwe matombo ekuisa paefodhi nepahomwe yepachipfuva,+ 28 nebharisamu nemafuta ekuisa mumarambi, zvekugadzirisa mafuta ekuzodza nawo+ uye rusenzi inonhuhwirira.+ 29 Varume nevakadzi vese vaiva nechido chekupa vakauya nechimwe chinhu kuti chishandiswe pabasa rakanga raudzwa Mozisi naJehovha kuti riitwe; vaIsraeri vakapa vachizvidira kuna Jehovha.+
30 Mozisi akabva ati kuvaIsraeri: “Onai, Jehovha akasarudza Bhezareri mwanakomana waUrai, mwanakomana waHeri, wedzinza raJudha.+ 31 Akamuzadza nemweya waMwari kuti ave neuchenjeri, nekunzwisisa, neruzivo rwemabasa eumhizha emarudzi ese 32 hwekufunga magadzirirwo ezvinhu neunyanzvi, kushanda negoridhe, sirivha, nemhangura, 33 kuveza matombo nekuaronga, uye kuveza matanda kuti aite zvivezwa zvakanaka zvemarudzi ese. 34 Uye aisa mumwoyo make nemaOhoriyabhi+ mwanakomana waAhisamaki wedzinza raDhani unyanzvi hwekudzidzisa vamwe. 35 Avazadza neunyanzvi*+ hwekuita mabasa ese eumhizha, ekumenda neekuruka, vachishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, uye shinda chena yakanaka, uye unyanzvi hwekugadzira machira acho. Varume ava vachaita mabasa emarudzi ese uye vachagadzira zvinhu zvakasiyana-siyana.
36 “Bhezareri achashanda naOhoriyabhi nevarume vese vane unyanzvi* vakapiwa uchenjeri nekunzwisisa naJehovha kuti vazive maitirwo ebasa rese repanzvimbo tsvene sekurayira kwakaita Jehovha.”+
2 Mozisi akabva ashevedza Bhezareri naOhoriyabhi nevarume vese vaiva neunyanzvi vaiva nemwoyo yakanga yaiswa uchenjeri naJehovha,+ vese vaizvipira kuita basa racho zvichibva pamwoyo.+ 3 Vakabva vatora kuna Mozisi zvipo zvese zvakanga zvaunzwa+ nevaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa dzvene. Asi vanhu vakaramba vachiuya kwaari nezvipo mangwanani ega ega.
4 Pavakanga vatanga basa dzvene, vashandi vese vaigona mabasa vaiuya, mumwe pashure pemumwe, 5 uye vaiudza Mozisi kuti: “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa kupfuura zvinodiwa pabasa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.” 6 Saka Mozisi akarayira kuti chiziviso chipiwe mumusasa wese, achiti: “Vanhuwee, chiregai kuramba muchiunza zvinhu zvekugadzirisa tebhenekeri.” Vanhu vakabva vamiswa kuti vasarambe vachiuya nezvimwe zvinhu. 7 Zvinhu zvacho zvaikwana basa rese raida kuitwa, zvimwe zvichitosara.
8 Saka vashandi vese vaiva neunyanzvi+ vakagadzira tebhenekeri+ nemachira 10 etende akagadzirwa neshinda chena yakakoswa, shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku; akazvigadzira* zviine mifananidzo yemakerubhi yakaita zvekurukirirwa pamachira acho.+ 9 Jira rimwe nerimwe retende rakanga rakareba makubhiti* 28 uye rakafara makubhiti 4. Machira ese etende akanga akaenzana. 10 Akabva abatanidza machira etende 5 pamwe chete, uye akabatanidza mamwe acho 5 pamwe chete. 11 Pashure paizvozvo akagadzira zvishwe neshinda yebhuruu pamupendero wejira raiva kwekupedzisira paraizobatira napo. Akaitawo saizvozvo pamupendero wekunze werimwe jira retende raiva kwekupedzisira paraizobatira napo. 12 Akagadzira zvishwe 50 pajira rimwe retende uye zvishwe 50 pane mumwe mupendero wejira retende kwaraizobatanidzwa nako kuitira kuti zvishwe zvacho zvinge zvakanangana. 13 Akazogadzira zvekukochekera nazvo 50 zvegoridhe, akazvishandisa kubatanidza machira acho etende, zvekuti tebhenekeri yacho yakava chinhu chimwe.
14 Akabva agadzira machira etende emvere dzembudzi ekuisa pamusoro petebhenekeri. Akagadzira machira etende 11.+ 15 Jira rimwe nerimwe retende rakanga rakareba makubhiti 30 uye rakafara makubhiti 4. Machira acho etende 11 akanga akaenzana. 16 Akabva abatanidza machira 5 etende pamwe chete, akabatanidza mamwe acho 6 pamwe chete. 17 Akabva agadzira zvishwe 50 pamupendero wejira retende raiva kwekupedzisira kwaraibatanidzwa nako, uye akagadzira zvishwe 50 pamupendero werimwe racho raraibatanidzwa naro. 18 Uye akagadzira zvekukochekera nazvo 50 zvemhangura zvekubatanidza nazvo tende racho kuti rive rimwe chete.
19 Akagadzira chekufukidzisa tende racho nematehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku uye chekufukidzisa chematehwe akapfava* chekuisa pamusoro pacho.+
20 Akabva agadzira mafuremu emapuranga emubayamhondoro+ ekumisa tebhenekeri.+ 21 Furemu rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti 10, rakafara kubhiti rimwe nehafu. 22 Furemu rimwe nerimwe raiva nezvimakumbo zvipfupi zviviri, chimwe chiri padivi pechimwe. Aya ndiwo magadziriro aakaita mafuremu ese etebhenekeri. 23 Saka akagadzira mafuremu 20 ekurutivi rwetebhenekeri rwakatarisa kumaodzanyemba. 24 Akabva agadzira zvigadziko 40 zvesirivha zvine maburi zvinoiswa pasi pemafuremu 20, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete zviine panopinda zvimakumbo zvaro zviviri, uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera zviine panopinda zvimakumbo zvaro zviviri.+ 25 Akagadzira mafuremu 20 erumwe rutivi rwetebhenekeri, rutivi rwekuchamhembe 26 nezvigadziko zvawo zvesirivha 40, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera.
27 Kurutivi rwekumashure rwetebhenekeri kwakatarisa kumavirira, akagadzira mafuremu 6.+ 28 Akagadzira mafuremu maviri kuti ave mapango epamakona ekumashure etebhenekeri. 29 Mafuremu acho aiva nemapuranga maviri nechekuzasi achibatana nechekumusoro, parin’i yekutanga. Izvi ndizvo zvaakaita nemapango maviri epakona. 30 Saka ese akanga ari mafuremu 8 aine zvigadziko zvawo 16 zvesirivha zvine maburi, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe.
31 Akabva agadzira mbariro 5 dzemubayamhondoro, dzekubatanidza nadzo mafuremu erimwe divi retebhenekeri,+ 32 uye mbariro 5 dzekubatanidza mafuremu erimwe divi retebhenekeri, nembariro 5 dzekubatanidza mafuremu edivi rekumavirira retebhenekeri, riri kumashure. 33 Akagadzira mbariro yepakati inobva kumucheto ichisvika kumucheto ichipfuura nepakati chaipo pemafuremu. 34 Akaisa goridhe pamafuremu acho, uye akaagadzirira marin’i egoridhe kuti abate mbariro, uye akaisa goridhe pambariro dzacho.+
35 Akabva agadzira keteni+ neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. Akarigadzira riine mifananidzo yemakerubhi+ yakaita zvekurukirirwa.+ 36 Akabva arigadzirira matanda mana emubayamhondoro akaaisa goridhe pamwe nezvekukochekera zvawo zvegoridhe ndokuagadzirira zvigadziko zvina zvesirivha. 37 Akazogadzira keteni rekuvharisa musuo wetende achishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa,+ 38 nembiru dzaro shanu nezvekukochekera nazvo. Akadziisa goridhe nechepamusoro padzo nepazvekubatanidza nazvo,* asi zvigadziko zvadzo zvaiva zvemhangura.
37 Bhezareri+ akabva agadzira Areka+ nemubayamhondoro. Yakanga yakareba makubhiti* maviri nehafu yakafara kubhiti rimwe nehafu uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 2 Akaiisa goridhe rakanatswa, yese mukati nekunze, uye akagadzira mupendero wegoridhe unoipoteredza.+ 3 Akabva aiumbira marin’i mana egoridhe epamusoro pemakumbo ayo mana, marin’i maviri ari kune rimwe divi uye mamwe maviri ari kune rimwe divi racho. 4 Akazogadzira mapango emubayamhondoro, akaaisa goridhe.+ 5 Akabva apinza mapango acho mumarin’i ari kumativi eAreka kuti ashandiswe kuitakura.+
6 Akagadzira chekukwidibirisa chegoridhe rakanatswa.+ Chakanga chakareba makubhiti maviri nehafu uye chakafara kubhiti rimwe nehafu.+ 7 Akabva agadzira makerubhi maviri+ egoridhe kumativi maviri echekukwidibirisa chacho achishandisa sando.+ 8 Kerubhi rimwe raiva kune mumwe mucheto, rimwe racho riri kune mumwe mucheto. Akagadzira makerubhi acho ari kumativi maviri echekukwidibirisa. 9 Makerubhi acho maviri akanga akavhurira mapapiro awo kumusoro, achivharidzira chekukwidibirisa nemapapiro awo.+ Akanga akatarisana uye zviso zvawo zvakanga zvakakotamira pachekukwidibirisa.+
10 Akabva agadzira tafura yemubayamhondoro.+ Yakanga yakareba makubhiti maviri, yakafara kubhiti rimwe, uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 11 Akaiisa goridhe rakanatswa uye akagadzira mupendero wegoridhe unoipoteredza. 12 Akazogadzira bhandi rine upamhi hwechanza* rakanga rakaipoteredza uye akagadzira mupendero wegoridhe waipoteredza bhandi racho. 13 Akazoiumbirawo marin’i mana egoridhe, akaaisa pamakona mana paibata napo makumbo acho. 14 Marin’i acho aiva pedyo nebhandi kuti abate mapango ekutakurisa tafura yacho. 15 Akabva agadzira mapango emubayamhondoro ekutakurisa tafura, akaaisa goridhe. 16 Apedza izvozvo akagadzira midziyo yepatafura achishandisa goridhe rakanatswa: madhishi, makapu, uye ndiro nemajagi zvaizoshandiswa kudira mipiro yezvinwiwa.+
17 Akabva agadzira chigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa. Akagadzira chigadziko chacho nesando. Pachinogara napo, chidzinde chacho, makapu acho, mapfundo acho, nemaruva acho akatumbuka zvaibva pachinhu chimwe chete.+ 18 Mapazi matanhatu aibuda pachidzinde chechigadziko chemarambi, mapazi matatu achibuda kune rimwe divi uye mapazi matatu achibuda kune rimwe racho. 19 Makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi akanga ari pamapazi aiva kudivi rimwe chete, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Uye makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi akanga ari pamapazi ekune rimwe divi racho, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Izvi ndizvo zvakaitwa pamapazi matanhatu aibatira pachidzinde chechigadziko chemarambi. 20 Uye pachidzinde chechigadziko chemarambi pakanga paine makapu mana akaumbwa semaruva emuarumondi, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. 21 Pasi pemapazi maviri ekutanga aibva pachidzinde pakanga paine pfundo uye pasi pemapazi maviri anotevera pakanga paine pfundo uyewo pasi pemapazi maviri aizotevera acho pakanga paine pfundo. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita mapazi matanhatu aibva pachidzinde chechigadziko chemarambi. 22 Mapfundo acho nemapazi acho nechigadziko chemarambi chacho chese, zvakanga zvakagadzirwa pachishandiswa sando kuti zvive chinhu chimwe chete chegoridhe rakanatswa. 23 Akabva agadzira marambi acho manomwe+ nezvekubvisisa tambo yapera kubvira* uye zvekuisira madota acho negoridhe rakanatswa. 24 Akachigadzira pamwe chete nemidziyo yacho yese achishandisa tarenda* rimwe chete regoridhe rakanatswa.
25 Akazogadzira atari yerusenzi+ nemubayamhondoro. Yakanga iine mativi mana akaenzana, yakareba kubhiti rimwe, yakafara kubhiti rimwe, uye yakakwirira makubhiti maviri. Nyanga dzayo dzakanga dzakagadzirwa pamwe nayo.+ 26 Akabva aiisa goridhe rakanatswa, pamusoro payo, nemumativi ayo ese, nenyanga dzayo, uye akaigadzirira mupendero wegoridhe unoipoteredza. 27 Akaigadzirira marin’i maviri egoridhe nechepazasi pemupendero wayo kudivi rimwe nerimwe remativi maviri akatarisana kuti abate mapango aishandiswa pakuitakura. 28 Pashure paizvozvo akagadzira mapango emubayamhondoro, akaaisa goridhe. 29 Akagadzirawo mafuta matsvene ekuzodza nawo,+ nerusenzi yakachena, inonhuhwirira,+ yakasanganiswa zvine unyanzvi.*
38 Akagadzira atari yekupisira zvibayiro yemubayamhondoro. Yakanga iine mativi mana akaenzana, yakareba makubhiti* mashanu, yakafara makubhiti mashanu, uye yakakwirira makubhiti matatu.+ 2 Akabva agadzira nyanga dzayo pamakona ayo mana. Nyanga dzayo dzakanga dzakagadzirirwa pairi, chiri chinhu chimwe chete. Akazoiisa yese mhangura.+ 3 Pashure paizvozvo akagadzira midziyo yese yeatari, migomo, mafoshoro, ndiro, maforogo, nemidziyo yekuisira madota. Akagadzira midziyo yayo yese nemhangura. 4 Akagadzirirawo atari sefa yakaitwa nemhangura yakarukana-rukana pasi pemupendero wayo ichisvika nechepakati payo. 5 Akaumba marin’i mana pamakona mana pedyo nesefa yemhangura, kuti abate mapango. 6 Pashure paizvozvo akagadzira mapango emubayamhondoro akaaisa mhangura. 7 Akabva apfekera mapango acho mumarin’i aiva kumativi eatari kuti ashandiswe kuitakura. Akagadzira atari yacho yakaita sebhokisi remapuranga rakavhurika.
8 Akabva agadzira mudziyo wemhangura wekuisira mvura yekugeza+ nechigadziko chawo chemhangura; akashandisa magirazi* evakadzi vakanga vakarongwa kushumira pasuo retende rekusanganira.
9 Akabva agadzira chivanze.+ Kurutivi rwakatarisa kumaodzanyemba rwechivanze, akagadzira maketeni anorembera akagadzirwa nejira reshinda chena yakakoswa, akareba makubhiti 100.+ 10 Paiva nembiru 20 nezvigadziko 20 zvemhangura, uye zvekukochekera zvembiru nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha. 11 Uyewo kuchamhembe kwaiva nemaketeni anorembera akareba makubhiti 100. Mbiru dzawo 20 nezvigadziko zvadzo 20 zvaiva zvemhangura. Zvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha. 12 Asi kurutivi rwekumavirira, maketeni anorembera akanga akareba makubhiti 50. Paiva nembiru 10 nezvigadziko zvadzo 10, uye zvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha. 13 Rutivi rupfupi rwakatarisa kumabvazuva rwaiva makubhiti 50. 14 Kurudyi rwepekupinda napo kwaiva nemakubhiti 15 emaketeni anorembera, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu. 15 Uye kuruboshwe rwepekupinda napo muchivanze kwaiva nemakubhiti 15 emaketeni anorembera, aine mbiru nhatu nezvigadziko zvitatu. 16 Maketeni ese airembera achitenderera chivanze akanga akagadzirwa nejira reshinda chena yakakoswa. 17 Zvigadziko zvembiru dzacho zvaiva zvemhangura, zvekukochekera nezvekuzvibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha, uye mbiru dzacho dzakanga dzakaiswa sirivha nechepamusoro padzo, uye zvekusungisa mbiru dzese dzechivanze zvaiva zvesirivha.+
18 Keteni repekupinda napo muchivanze rakanga rakarukwa neshinda yebhuruu, shinda yepepuru,* shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. Rakanga rakareba makubhiti 20 uye rakakwirira makubhiti 5, rakaenzana nemaketeni anorembera echivanze.+ 19 Mbiru dzacho ina nezvigadziko zvadzo zvina zvaiva zvemhangura. Zvekukochekera zvadzo nezvekudzibatanidza nazvo* zvaiva zvesirivha, uye nechepamusoro padzo dzakanga dzakaiswa sirivha. 20 Hoko dzese dzetende retebhenekeri nedzechivanze kumativi ese dzaiva dzemhangura.+
21 Zvinotevera ndizvo zvinhu zvakashandiswa pakugadzira tebhenekeri, iyo tebhenekeri yeChipupuriro,+ izvo zvakanzi naMozisi zviverengwe, sebasa revaRevhi+ vaitungamirirwa naItamari+ mwanakomana wemupristi Aroni. 22 Bhezareri+ mwanakomana waUrai, mwanakomana waHeri, wedzinza raJudha akaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 23 Aiva naOhoriyabhi+ mwanakomana waAhisamaki wedzinza raDhani, aiva mhizha, aigona kumenda nekuruka neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, neshinda chena yakanaka.
24 Goridhe rese rakashandiswa pabasa rese renzvimbo tsvene rakanga rakaenzana negoridhe remupiro unovheyeswa,+ matarenda* 29 nemashekeri* 730 anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene.* 25 Uye sirivha yevaya vakanga vaverengwa muungano yaiva matarenda 100 nemashekeri 1 775 anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene.* 26 Munhu mumwe nemumwe akanga akaverengwa aiva nemakore 20 zvichikwira, akauya nehafu yeshekeri raienderana nehafu yeshekeri renzvimbo tsvene*+ uye vese vaisvika 603 550.+
27 Zvigadziko zvenzvimbo tsvene nezvigadziko zveketeni zvakagadzirwa nematarenda esirivha anosvika 100; zvigadziko 100 zvakanga zvakaenzana nematarenda 100, tarenda rimwe richigadzira chigadziko chimwe chete.+ 28 Achishandisa mashekeri 1 775, akagadzira zvekukochekera zvembiru, akaisa sirivha nechepamusoro padzo, akadzibatanidza.
29 Mupiro* wemhangura waiva matarenda 70 uye mashekeri 2 400. 30 Akashandisa mupiro uyu kugadzira zvigadziko zvesuo retende rekusanganira, atari yemhangura, sefa yayo yemhangura, midziyo yese yeatari, 31 zvigadziko zvese zvechivanze, zvigadziko zvepekupinda napo muchivanze, nehoko dzese dzetende retebhenekeri nehoko dzese dzetende+ rechivanze.
39 Vachishandisa shinda yebhuruu, shinda yepepuru,* neshinda tsvuku,+ vakagadzira nguo dzakarukwa zvakanaka dzekushumira nadzo munzvimbo tsvene. Vakagadzirira Aroni+ nguo tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
2 Akagadzira efodhi+ achishandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa. 3 Vakashandisa sando kupfura goridhe kuti rive tumarata tutetetete, uye iye akaacheka kuva tutambo twekurukirira pamwe chete neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, neshinda chena yakanaka, uye twakashandiswa pakumenda. 4 Vakaigadzirira zvidimbu zvemachira zvepamapfudzi zvaibatanidzwa kumicheto yayo miviri nechekumusoro. 5 Uye bhandi rakarukwa, rakasonererwa paefodhi, rekuisunga kuti ibate,+ rakagadzirwa nezvinhu zvimwe chetezvo zvakagadziriswa efodhi yacho zvinoti: goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
6 Vakabva vaisa matombo eonikisi muzvibatiso zvegoridhe, ndokunyora paari mazita evanakomana vaIsraeri vachiita zvekutemera, sezvinoitwa panotemerwa mashoko pachidhindo.*+ 7 Akaaisa pazvidimbu zvemachira eefodhi epamapfudzi, kuti ave matombo ekuyeuchidza vanakomana vaIsraeri,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 8 Akabva agadzira homwe yepachipfuva+ yakaita zvekumendwa, semagadzirirwo akaitwa efodhi, achishandisa goridhe, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda tsvuku, nejira rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa.+ 9 Yaiva nemativi mana akaenzana kana yapetwa. Vakagadzira homwe yepachipfuva yaiti kana yapetwa yakanga yakareba uye yakafara sipani* imwe chete. 10 Vakaisa pairi mitsara mina yematombo. Mutsara wekutanga waiva nerubhi, topazi, neemaradhi. 11 Mutsara wechipiri waiva netekoizi, safaya, nejaspa. 12 Mutsara wechitatu waiva nereshemu,* agati, neametesti. 13 Uye mutsara wechina waiva nekrisoriti, onikisi, nejedhi. Akanga akaiswa mutumafuremu twegoridhe. 14 Matombo acho aienderana nemazita evanakomana 12 vaIsraeri, uye mazita acho akanga akanyorwa achiita zvekutemerwa sezvinoitwa panonyorwa mashoko pachidhindo, zita rimwe nerimwe richimiririra rimwe remadzinza acho 12.
15 Vakabva vagadzira cheni dzakamonwa pahomwe yepachipfuva, dzakaita setambo dzegoridhe rakanatswa.+ 16 Uye vakagadzira zvibatiso zviviri zvegoridhe nemarin’i maviri egoridhe uye vakaisa marin’i acho maviri kumakona kwehomwe yepachipfuva. 17 Pashure paizvozvo vakapinza tambo dzacho mbiri dzegoridhe nemumarin’i maviri aiva kumicheto yehomwe yepachipfuva. 18 Vakabva vapinza miromo miviri yetambo dzacho mbiri nemuzvibatiso zviviri, ndokuita kuti zvibate machira epamapfudzi eefodhi, nechekumberi. 19 Vakazogadzira marin’i maviri egoridhe, ndokuaisa kumicheto miviri iri nechemukati mehomwe yacho kwakagumha efodhi.+ 20 Vakabva vagadzira mamwe marin’i maviri egoridhe pamberi peefodhi, pazasi pemachira maviri epamapfudzi, pedyo nepaanobatana nayo, pamusoro pebhandi rakarukwa reefodhi. 21 Vakazopedzisira nekusunga homwe yepachipfuva netambo yebhuruu ichibva pamarin’i ayo ichipinda mumarin’i eefodhi, kuti homwe yepachipfuva igare iri panzvimbo payo paefodhi, pamusoro pebhandi rakarukwa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
22 Akabva agadzira nguo isina maoko yekupfeka pasi peefodhi, yakarukwa nemugadziri wemachira neshinda yebhuruu chete.+ 23 Yakanga iine pakavhurika nechepakati payo sezvakaita penguo yemurwi yesimbi. Pakavhurika pacho pakanga paine mupendero unopatenderedza, kuti pasabvaruka. 24 Vakazoisa pamupendero wenguo yacho isina maoko mapomegraneti* akagadzirwa neshinda yebhuruu, shinda yepepuru, neshinda tsvuku, zvakakoswa pamwe chete. 25 Uye vakagadzira mabhero egoridhe rakanatswa ndokuaisa pakati pemapomegraneti achitenderera mupendero wacho wese wenguo isina maoko, pakati pemapomegraneti; 26 aitevedzana achiti apa bhero regoridhe apa pomegraneti, apa bhero regoridhe apa pomegraneti, achitenderera mupendero wese wenguo yacho isina maoko, yaishandiswa pakushumira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
27 Uye vakagadzirira Aroni nevanakomana vake nguo refu yejira rakanaka rakarukwa nemunhu anogadzira machira,+ 28 nengowani+ yejira rakanaka, machira ekushongedza musoro,+ zvikabudura* zvejira+ rakanaka rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, 29 nebhandi rejira rakanaka rakagadzirwa neshinda chena yakakoswa, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, uye shinda tsvuku, zvakarukwa pamwe chete, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
30 Vakazopedzisira nekugadzira karata kanopenya, karata katsvene kegoridhe,* ndokukanyora vachiita zvekutemera sezvinoitwa pachidhindo, mashoko ekuti: “Utsvene ndehwaJehovha.”+ 31 Vakakasungirira tambo yakagadzirwa neshinda yebhuruu kuti vakaise pangowani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
32 Saka basa rese retebhenekeri, iro tende rekusanganira, rakapera, uye vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ Vakaita izvozvo chaizvo.
33 Vakabva vauya netebhenekeri+ kuna Mozisi, tende+ nemidziyo yaro yese: zvekukochekera nazvo zvayo,+ mafuremu ayo,+ mbariro dzayo+ nembiru dzayo nezvigadziko zvayo;+ 34 chekuifukidza chematehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku,+ chekuifukidza chematehwe akapfava,* keteni rekuvharisa;+ 35 areka yeChipupuriro nemapango ayo+ nechekuikwidibirisa;+ 36 tafura, midziyo yayo yese+ nechingwa chekuratidza; 37 chigadziko chemarambi chegoridhe rakanatswa, marambi acho+ akarongwa mumutsara, nemidziyo yacho yese+ nemafuta ekuvhenekesa;+ 38 atari+ yegoridhe, mafuta ekuzodza nawo,+ rusenzi inonhuhwirira,+ keteni rekuvharisa+ musuo wetende; 39 atari yemhangura+ nesefa yayo yemhangura, mapango ayo,+ midziyo yayo yese,+ mudziyo wekuisira mvura yekugeza nepekuugadzika;+ 40 maketeni anorembera echivanze, mbiru dzacho nezvigadziko zvacho,+ keteni rekuvharisa+ musuo wechivanze, tambo dzacho dzetende nehoko dzacho+ nemidziyo yese yebasa repatebhenekeri, patende rekusanganira; 41 nguo dzakarukwa zvakanaka dzekushumira nadzo munzvimbo tsvene, nguo tsvene dzemupristi Aroni,+ nenguo dzevanakomana vake dzekuti vashumire sevapristi.
42 VaIsraeri vakaita basa rese vachitevedzera zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 43 Mozisi paakaongorora basa rese ravakanga vaita, akaona kuti vakanga vaita zvakanga zvarayirwa naJehovha chaizvo; uye Mozisi akavakomborera.
40 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 2 “Pazuva rekutanga remwedzi wekutanga, umise tebhenekeri, tende rekusanganira.+ 3 Isa areka yeChipupuriro mukati mayo,+ wovharidzira Areka neketeni.+ 4 Upinze tafura+ woronga zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo, uye upinze chigadziko chemarambi+ wobatidza marambi acho.+ 5 Uise atari yegoridhe yekupisira rusenzi+ pamberi peareka yeChipupuriro, woisa keteni rekuvharisa suo retebhenekeri.+
6 “Unofanira kuisa atari yekupisira zvibayiro+ pamberi pesuo retebhenekeri, tende rekusanganira, 7 woisa mudziyo wekuisira mvura yekugeza pakati petende rekusanganira neatari, wozodira mvura mukati mawo.+ 8 Ibva wamisa maketeni achipoteredza chivanze chese,+ woisa keteni rekuvharisa+ suo rechivanze. 9 Utore mafuta ekuzodza nawo+ wozodza tebhenekeri nezvese zviri mukati mayo,+ uitsaure pamwe nemidziyo yayo yese, kuti ive chinhu chitsvene. 10 Uzodze atari yekupisira zvibayiro nemidziyo yayo yese kuti uitsaure, ive atari tsvenetsvene.+ 11 Uye uzodze mudziyo wekuisira mvura yekugeza nechigadziko chawo kuti uve mutsvene.
12 “Chiuya naAroni nevanakomana vake pedyo nesuo retende rekusanganira, wovageza nemvura.+ 13 Upfekedze Aroni nguo tsvene,+ womuzodza+ kuti ave mutsvene, uye achashumira semupristi wangu. 14 Wapedza izvi, wouya nevanakomana vake pedyo, wovapfekedza nguo refu.+ 15 Uvazodze sezvaunenge waita baba vavo,+ kuti vashumire sevapristi vangu, uye kuzodzwa kwavo kuchaita kuti varambe vari vapristi kwezvizvarwa zvavo zvese.”+
16 Mozisi akaita zvese zvaakanga arayirwa naJehovha.+ Akaita izvozvo chaizvo.
17 Mumwedzi wekutanga wegore rechipiri, pazuva rekutanga remwedzi wacho, tebhenekeri yakamiswa.+ 18 Mozisi paakamisa tebhenekeri yacho, akaisa pasi zvigadziko zvayo zvine maburi,+ akamisa mafuremu ayo,+ akaisa mbariro dzayo,+ uye akamisa mbiru dzayo. 19 Akatambanudza tende+ pamusoro petebhenekeri, akaisa chekufukidzisa+ chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
20 Pashure paizvozvo akatora Chipupuriro+ akachiisa muAreka,+ akaisa mapango+ paAreka, akaisa chekukwidibirisa+ pamusoro peAreka.+ 21 Akapinza Areka mutebhenekeri, akaisa keteni+ rekuvharisa, akavharidzira areka yeChipupuriro,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
22 Akaisawo tafura+ mutende rekusanganira kurutivi rwekuchamhembe mutebhenekeri imomo, kunze kweketeni, 23 uye akaronga chingwa+ pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
24 Akaisa chigadziko chemarambi+ mutende rekusanganira chakatarisana netafura, kurutivi rwekumaodzanyemba mutebhenekeri imomo. 25 Akabatidza marambi+ acho pamberi paJehovha, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
26 Akaisawo atari yegoridhe+ pamberi peketeni mutende rekusanganira, 27 kuti rusenzi inonhuhwirira+ ipfungaire pairi,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
28 Akabva aisa keteni rekuvharisa+ musuo wetebhenekeri.
29 Akaisa atari yekupisira zvibayiro+ pasuo retebhenekeri, tende rekusanganira, kuti ape zvibayiro zvinopiswa+ nemipiro yezviyo pairi, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
30 Akabva aisa mudziyo wekuisira mvura yekugeza pakati petende rekusanganira neatari, akaisamo mvura yekugeza.+ 31 Mozisi naAroni nevanakomana vake vakaishandisa kugeza maoko avo netsoka dzavo. 32 Pese pavaipinda mutende rekusanganira kana kuti pavaisvika paatari, vaigeza,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
33 Akazopedzisira nekumisa maketeni echivanze+ aipoteredza tebhenekeri neatari, akaisa keteni rekuvharisa suo rechivanze.+
Saka Mozisi akapedza basa racho. 34 Uye gore rakafukidza tende rekusanganira, kubwinya kwaJehovha kukazadza tebhenekeri.+ 35 Mozisi haana kukwanisa kupinda mutende rekusanganira nekuti gore racho rakaramba riri pamusoro payo, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tebhenekeri.+
36 Uye parwendo rwavo rwese, vaIsraeri vaiputsa musasa kana gore rasimuka richibva patebhenekeri.+ 37 Asi kana gore risina kusimuka, vaisaputsa musasa kusvikira zuva raraisimuka.+ 38 Nekuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petebhenekeri masikati, uye moto wairamba uri pamusoro payo usiku, vaIsraeri vese vachiona, parwendo rwavo rwese.+
ChiHeb., “vakabva muchidya chaJakobho.”
Kana kuti “mweya 70.”
ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”
Kana kuti “areka.”
Kana kuti “nebhitumini.”
Kureva kuti “Akanyururwa,” zvichireva kuti akaponeswa kubva mumvura.
Kana kuti “paakanga achiva munhu ane simba.”
Kana kuti “akanunura.”
Kureva, Jetro.
Kureva kuti “Mutorwa Ikoko.”
ChiHeb., “pemazuva akawanda.”
Kana kuti “muchashumira.”
Kana kuti “Zvandinenge Ndada.”
Kana kuti “Ndichava Iye Wandichava.” Ona Mashoko Ekuwedzera A4.
ChiHeb., “miromo yangu inorema.”
ChiHeb., “ndichava nemuromo wako.”
Kana kuti “uchange uri mumiririri waMwari kwaari.”
Kana kuti “vaitsvaga mweya wako.”
Kana kuti “banga rakagadzirwa nedombo.”
Zvichida pari kureva tsoka dzengirozi.
Kana kuti “murume,” kureva murume akaroora.
Kana kuti “munotakura mitoro yenyu.”
Kana kuti “nekuti inyope.”
Kana kuti “muri nyope.”
Kana kuti “muri nyope.”
Kana kuti “rune simba.”
ChiHeb., “yandakasimudza ruoko rwangu.”
ChiHeb., “ndiine miromo isina kuchecheudzwa.”
ChiHeb., “maererano nemauto avo.”
ChiHeb., “Ndine miromo isina kuchecheudzwa.”
ChiHeb., “ndakuita kuti uve Mwari.”
Kureva, migero inobva muna Nire.
Aka kachipembenene kakaita seumhutu.
Aka kachipukanana kakaita senhunzi kanoruma.
Kureva, vaIjipiti.
Kana kuti “achiita zvekutamba nesu.”
Bisiro inzvimbo yaipisirwa zvinhu zvakadai sezvidhinha, simbi, nezvimwewo.
Kana kuti “makatsakatiswa; makatsvairwa.”
Pamwe uku kutsanangurwa kwemheni ine simba.
Ichi chirimwa chakabvira makare kare chichirimwa. Tambo dzinobviswa pachiri dzaishandiswa kugadzira machira.
Kana kuti “zvaidyarwa mwaka wafamba.”
ChiHeb., “ari musungo kwatiri.”
Anofanira kunge ari Mozisi ari kurehwa.
Kana kuti “muchatibvumira kuenda nezvekunobayira.”
Kana kuti “kwemweya yacho.”
Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
Aya mapango anenge akabatirira gonhi kana kuti dhoo.
ChiHeb., “zviuno zvenyu zvakasungwa.”
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “nemweya.”
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kureva, makwai madiki kana mbudzi diki.
ChiHeb., “rinoparadza.”
ChiHeb., “muimba yemugomba.”
Kureva, vamwe vanhu vaisava vaIsraeri kusanganisira vaIjipiti.
ChiHeb., “dangwe rese rinovhura chibereko.”
ChiHeb., “mumiganhu.”
Kana kuti “sechirangaridzo.”
ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”
ChiHeb., “wese anovhura chibereko.”
ChiHeb., “dangwe rese rinovhura chibereko.”
Ichi chishongo chinosungwa chakatenderera musoro chakadai sechuma kana chimwewo chinhu.
ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”
ChiHeb., “neruoko rwakasimudzwa.”
Kureva, kuma2:00 dzeusiku kusvika kuma6:00 dzemangwanani.
“Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Kana kuti “mweya wangu wagutswa.”
Kana kuti “vachabatwa nemarwadzo ekusununguka.”
Kana kuti “vatongi veMoabhi vanodzvinyirira.”
Kureva kuti “Kuvava.”
Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
Kana kuti “mweya mumwe nemumwe uchiwana.”
Uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 2,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “rekuchengeta sabata.”
Kana kuti “vanhu vakazorora.”
Zvichida rakabva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “Chii ichi?”
Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva kuti “Kuedza; Muedzo.”
Kureva kuti “Kupopota.”
Kureva kuti “Jehovha Ndiye Mureza Wangu; Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu.”
Kureva kuti “Mutorwa Ikoko.”
Kureva kuti “Mwari Wangu Mubatsiri.”
ChiHeb., “kubva paruoko rweIjipiti.”
ChiHeb., “nguva dzese.”
Zvichida kupfurwa nemuseve.
ChiHeb., “Musaswedera pedyo nemukadzi.”
Bisiro inzvimbo yaipisirwa zvinhu zvakadai sezvidhinha, simbi, nezvimwewo.
ChiHeb., “mumagedhi ako.”
Kana kuti “zvibayiro zvekuwadzana.”
ChiHeb., “kusapfeka kwako.”
Iri ibango rinenge rakabatirira gonhi kana kuti dhoo.
ChiHeb., “adzikinurwe.”
Kureva, kurara kwaaiita naye.
ChiHeb., “uye vana vake vobuda.”
Kana kuti “pasina akuvara zvakaipisisa.”
Kana kuti “mweya nemweya.”
Kana kuti “mweya wake.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “ndine tsiye nyoro.”
Kana kuti “mutongi ari pakati pevanhu vako.”
Kureva, zvisviniro zvemafuta nezvewaini.
Kana kuti “neshoko renhema.”
Kana kuti “munhu akaipa haana mhosva.”
Kana kuti “Munoziva upenyu hwemutorwa.”
Unonziwo Mutambo Wemavhiki, kana kuti Pendekosti.
Unonziwo Mutambo Wematumba (Wematebhenekeri).
Kana kuti “ndichaita kuti murarame mazuva akakwana.”
Kana kuti “ndichaita kuti muone makotsi evavengi venyu vachikutizai.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vavhunduke; vatye.”
Kureva, Yufratesi.
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kana kuti “matehwe etahashi.” Tahashi ringangova riri zita rechiHebheru remhuka yemugungwa yakada kufanana neyemurwizi inonzi mbiti asi yakakura kuipfuura.
Kana kuti “ndichadzika tebhenekeri.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Angasvika masendimita 7,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “mbato.” Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi waishandiswa kubvisa tambo inenge yabvira.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “madota ayo ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.
Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.
Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
ChiHeb., “vane mwoyo yakachenjera.”
Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kana kuti “pachisimbiso.”
Anenge masendimita 22,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dombo iri rinokosha harizivikanwi kuti rakanga rakaita sei.
Kana kuti “Pekupinza napo musoro.”
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
ChiHeb., “uye uzadze ruoko rwavo.”
Kana kuti “zvipfeko zvemukati.”
ChiHeb., “mbeu.”
Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.
Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.
Kana kuti “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira kwaAroni kuna Mwari.”
ChiHeb., “kuti uzadze ruoko rwaAroni uye ruoko rwevanakomana vake.”
ChiHeb., “zvinozorodza.”
ChiHeb., “zvinozorodza.”
Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.
Zvichida muchivanze chetende dzvene.
ChiHeb., “vazadzwe ruoko rwavo.”
ChiHeb., “mutorwa,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.
ChiHeb., “uchizadza ruoko rwavo.”
Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Hini yakanga yakaenzana nemarita 3,67. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
ChiHeb., “kunozorodza.”
Kana kuti “Ndichadzika tebhenekeri yangu.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
Kana kuti “rwemweya wake.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “neshekeri dzvene.”
Gera rainge rakaenzana nemagiramu 0,57. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “mweya yenyu iyananiswe.”
Kana kuti “mweya yenyu iyananiswe.”
Kana kuti “neshekeri dzvene.”
Hini yakanga yakaenzana nemarita 3,67. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “sezvinoitwa nemunhu anogadzira mafuta.”
Kana kuti “munhu asingabvumirwi,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.
Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “sezvinoitwa nemunhu anogadzira mafuta.”
Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”
ChiHeb., “ndadana nezita.”
ChiHeb., “vane mwoyo yakachenjera.”
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “mufananidzo wakaumbwa.”
Kana kuti “mufananidzo wakaumbwa.”
ChiHeb., “vakaoma mutsipa.”
Kana kuti “zvidembei.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “akazvidemba.”
Kana kuti “kwevanhu vaita chimwe chinhu nesimba.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “vakaoma mutsipa.”
ChiHeb., “vakaoma mutsipa.”
ChiHeb., “vakabvisa.”
Kana kuti “Ndakakusarudza.”
ChiHeb., “Chiso changu chichaenda.”
ChiHeb., “Kana chiso chenyu chisiri.”
Kana kuti “nenyasha.”
Kana kuti “azere nemutsa.”
Kana kuti “uye akatendeka.”
ChiHeb., “vakaoma mutsipa.”
Kana kuti “haadi vanokwikwidzana naye.”
ChiHeb., “Dangwe rese rinovhura chibereko.”
Kana kuti “kuchengeta sabata.”
Unonziwo Mutambo Wematumba (Wematebhenekeri).
Apa panofanira kunge pari kurehwa Jehovha. Ona vhesi 1.
ChiHeb., “Mashoko Gumi.”
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.
ChiHeb., “vane mwoyo yakachenjera.”
Kana kuti “mipiro inovheyeswa.”
ChiHeb., “uchenjeri hwemwoyo.”
ChiHeb., “vane mwoyo yakachenjera.”
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Zvinoratidza sekuti ndiBhezareri ari kutaurwa.
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.
Kana kuti “nepamarin’i adzo” ekukochekera.
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Angasvika masendimita 7,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “mbato.” Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi waishandiswa kubvisa tambo inenge yabvira.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “sezvinoitwa nemunhu anogadzira mafuta.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva, simbi yakakwenenzverwa zvakasimba kuti ipenye segirazi.
Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.
Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.
Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.
Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kana kuti “nemarin’i azvo” ekukochekera.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “neshekeri dzvene.”
Kana kuti “neshekeri dzvene.”
Kana kuti “yeshekeri dzvene.”
Kana kuti “mupiro unovheyeswa.”
Kana kuti “mvere dzemakwai dzakadhayiwa neruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”
Kana kuti “pachisimbiso.”
Anenge masendimita 22,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dombo iri rinokosha harizivikanwi kuti rakanga rakaita sei.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
Kana kuti “zvipfeko zvemukati.”
Kana kuti “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira kwaAroni kuna Mwari.”
Ona mashoko emuzasi ari pana Eks 25:5.