RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt p. 39
  • Mashoko Ekutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Ekutanga
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Mashoko Ekutanga

MASHOKO EKUTANGA

Mwari anotaura nesu achishandisa Bhaibheri Dzvene. Tinofanira kuridzidza kuti tizive Munyori waro. (Johani 17:3; 2 Timoti 3:16) Mariri, Jehovha Mwari anozivisa chinangwa chake chaakasikira vanhu uye nyika.—Genesisi 3:15; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Hapana rimwe bhuku rinochinja upenyu hwevanhu sezvinoitwa neBhaibheri. Rinotibatsira kuti tiratidze rudo, uye kuti tive netsitsi nengoni saJehovha. Rinopa tariro, richibatsira vanhu kuti vatsungirire matambudziko ese kunyange aya akaomesesa. Rinofumurawo zvinhu zvinoitwa munyika ino zvinopesana nekuda kwaMwari kwakakwana.—Pisarema 119:105; VaHebheru 4:12; 1 Johani 2:15-17.

Bhaibheri rakatanga kunyorwa mumutauro wechiHebheru, chiGiriki, nechiAramaiki, rikazoshandurirwa mumitauro inopfuura 3 000. Mune mimwe mitauro rakashandurwa rakazara asi mune mimwe rakangoshandurwa zvikamu zvaro. Munhoroondo yese yevanhu, hapana bhuku rakambozara muvanhu uye rakashandurirwa mumitauro yakawanda sezvakaitwa Bhaibheri. Izvi ndizvo zvazvinofanira kuita nekuti Bhaibheri rakagara rataura kuti: “Aya mashoko akanaka eUmambo [rinova ndiro dingindira reBhaibheri] achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.”—Mateu 24:14.

Tichifunga nezvekukosha kwemashoko ari muBhaibheri, chinangwa chedu pataidzokorora Bhaibheri iri chaiva chekuti tibudise Bhaibheri rinonzwisisika uye riri nyore kuverenga tisingachinji mashoko acho akafemerwa. Zvimwe zvakagadziridzwa muBhaibheri rino zvinotsanangurwa muMashoko Ekuwedzera muzvikamu zvakanzi “Mashandurirwo Anoitwa Bhaibheri,” “Zvakaita Bhaibheri Rino Rakadzokororwa,” uye “Bhaibheri Rakasvika Sei Kwatiri?”

Vanhu vanoda Jehovha Mwari uye vanomunamata vanoda kuverenga Shoko raMwari muBhaibheri rakashandurwa zvakarurama uye rinonzwisisika. (1 Timoti 2:4) Saka takaita kuti Shanduro yeNyika Itsva yakagadziridzwa ibudiswe mumutauro wechiShona maererano nechinangwa chedu chekuti iwanikwe mumitauro yakawanda. Tinonyengeterera kuti iwe, muverengi anodiwa, ubatsirwe neshanduro ino yeMagwaro Matsvene paunoita zvaunokwanisa kuti ‘utsvage Mwari, womuwana’ uye tinovimba kuti uchabatsirwa.—Mabasa 17:27.

Komiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe