Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku raVatongi VATONGI ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Kukunda kwaJudha naSimiyoni (1-20) VaJebhusi vanoramba vari muJerusarema (21) Josefa anotora Bheteri (22-26) Vamwe vaKenani havana kudzingwa (27-36) 2 Nyevero inobva kungirozi yaJehovha (1-5) Kufa kwaJoshua (6-10) VaIsraeri vanopiwa vatongi kuti vavaponese (11-23) 3 Jehovha anoedza vaIsraeri (1-6) Otinieri, mutongi wekutanga (7-11) Mutongi Ehudhi anouraya Mambo Egroni akanga akafuta (12-30) Mutongi Shamgari (31) 4 Mambo Jabhini wevaKenani anodzvinyirira vaIsraeri (1-3) Muprofitakadzi Dhibhora neMutongi Bheraki (4-16) Jaeri anouraya Sisera mukuru weuto (17-24) 5 Rwiyo rwekukunda rwaDhibhora naBheraki (1-31) Nyeredzi dzinorwisa Sisera (20) Rukova rwaKishoni runofashamira (21) Vaya vanoda Jehovha vakaita sezuva (31) 6 VaMidhiyani vanodzvinyirira vaIsraeri (1-10) Ngirozi inoudza Mutongi Gidhiyoni kuti achatsigirwa (11-24) Gidhiyoni anoputsa atari yaBhaari (25-32) Mweya waMwari unouya pana Gidhiyoni (33-35) Chiratidzo chejira remvere dzemakwai (36-40) 7 Gidhiyoni nevarume vake 300 (1-8) Uto raGidhiyoni rinokunda vaMidhiyani (9-25) “Bakatwa raJehovha neraGidhiyoni!” (20) Vanhu vanovhiringidzika mumusasa wevaMidhiyani (21, 22) 8 VaEfremu vanopopotera Gidhiyoni (1-3) Madzimambo eMidhiyani anoteverwa ourayiwa (4-21) Gidhiyoni anoramba kuva mambo (22-27) Pfupiso yeupenyu hwaGidhiyoni (28-35) 9 Abhimereki anova mambo muShekemu (1-6) Chirevo chaJotamu (7-21) Kutonga kweutsinye kwaAbhimereki (22-33) Abhimereki anouraya vanhu vemuShekemu (34-49) Mumwe mukadzi anokuvadza Abhimereki; Abhimereki anofa (50-57) 10 Mutongi Tora naMutongi Jairi (1-5) Israeri anopanduka, opfidza (6-16) VaAmoni vanodzika musasa kuti varwe nevaIsraeri (17, 18) 11 Mutongi Jefta anodzingwa, asi anozoitwa mutungamiriri (1-11) Jefta anoedza kutaurirana nevaAmoni (12-28) Mhiko yaJefta nemwanasikana wake (29-40) Mwanasikana wake anorarama asina kuroorwa (38-40) 12 Kusanzwisisana nevaEfremu (1-7) Kuudzwa kuti vati Shibhoreti (6) Vatongi vanoti Ibzani, Eroni, naAbdhoni (8-15) 13 Ngirozi inouya kuna Manoa nemudzimai wake (1-23) Kuberekwa kwaSamsoni (24, 25) 14 Mutongi Samsoni anotsvaga mukadzi wechiFiristiya (1-4) Mweya waJehovha unoita kuti Samsoni akwanise kuuraya shumba (5-9) Chirahwe chaSamsoni pamuchato (10-19) Mudzimai waSamsoni anopiwa mumwe murume (20) 15 Samsoni anotsiva vaFiristiya (1-20) 16 Samsoni anoenda kuGaza (1-3) Samsoni naDherira (4-22) Kutsiva kwaSamsoni nekufa kwake (23-31) 17 Zvidhori zvaMika nemupristi wake (1-13) 18 VaDhani vanotsvaga nyika yekugara (1-31) Zvidhori zvaMika zvinotorwa pamwe nemupristi wake (14-20) Raishi inotorwa yotumidzwa kuti Dhani (27-29) Kunamata chidhori muDhani (30, 31) 19 Mhosva yevaBhenjamini yekubata chibharo muguta reGibhiya (1-30) 20 Kurwa nevaBhenjamini (1-48) 21 Dzinza revaBhenjamini rinochengetedzwa (1-25)