Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku raJohani JOHANI ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Shoko rakava nyama (1-18) Uchapupu hwakapiwa naJohani Mubhabhatidzi (19-28) Jesu, Gwayana raMwari (29-34) Vadzidzi vaJesu vekutanga (35-42) Firipi naNatanieri (43-51) 2 Muchato wekuKana; mvura yakava waini (1-12) Jesu anochenesa temberi (13-22) Jesu anoziva zviri mumwoyo memunhu (23-25) 3 Jesu naNikodhimo (1-21) Kuberekwazve (3-8) Mwari akada nyika (16) Uchapupu hwaJohani hwekupedzisira nezvaJesu (22-30) Uya anobva kumusoro (31-36) 4 Jesu nemukadzi wekuSamariya (1-38) Namata Mwari “mumweya nemuchokwadi” (23, 24) VaSamariya vakawanda vanotenda muna Jesu (39-42) Jesu anoporesa mwanakomana wegurukota (43-54) 5 Murume anorwara anoporeswa paBhetizata (1-18) Jesu akapiwa simba naBaba vake (19-24) Vakafa vachanzwa inzwi raJesu (25-30) Uchapupu pamusoro paJesu (31-47) 6 Jesu anopa vanhu 5 000 zvekudya (1-15) Jesu anofamba pamusoro pemvura (16-21) Jesu, “chingwa cheupenyu” (22-59) Vakawanda vanogumburwa nemashoko aJesu (60-71) 7 Jesu paMutambo Wematebhenekeri (1-13) Jesu anodzidzisa pamutambo (14-24) Vanhu vanofunga zvakasiyana-siyana nezvaKristu (25-52) 8 Baba vanopupurira Jesu (12-30) Jesu, “chiedza chenyika” (12) Vana vaAbrahamu (31-41) “Chokwadi chichakusunungurai” (32) Vana vaDhiyabhorosi (42-47) Jesu naAbrahamu (48-59) 9 Jesu anoporesa murume akaberekwa ari bofu (1-12) Murume aporeswa anobvunzwa nevaFarisi (13-34) Upofu hwevaFarisi (35-41) 10 Mufudzi nedanga remakwai (1-21) Jesu ndiye mufudzi akanaka (11-15) “Ndine mamwe makwai” (16) VaJudha vanosangana naJesu paMutambo Wekukumikidza (22-39) VaJudha vakawanda havatendi (24-26) “Makwai angu anoteerera inzwi rangu” (27) Mwanakomana ari pamwe naBaba (30, 38) Vakawanda vari mhiri kwaJodhani vanotenda (40-42) 11 Kufa kwaRazaro (1-16) Jesu anonyaradza Marita naMariya (17-37) Jesu anomutsa Razaro (38-44) Vanorangana kuuraya Jesu (45-57) 12 Mariya anodira mafuta patsoka dzaJesu (1-11) Jesu anopinda muguta achiratidza kukunda (12-19) Jesu anotaura nezverufu rwake (20-37) Kusatenda kwevaJudha kunozadzisa uprofita (38-43) Jesu akauya kuzoponesa nyika (44-50) 13 Jesu anogeza tsoka dzevadzidzi vake (1-20) Jesu anoti Judhasi ndiye mutengesi (21-30) Murayiro mutsva (31-35) “Kana muine rudo pakati penyu” (35) Petro anoudzwa kuti acharamba Jesu (36-38) 14 Jesu ndiye ega nzira yekusvika kuna Baba (1-14) “Ndini nzira nechokwadi neupenyu” (6) Jesu anovimbisa mweya mutsvene (15-31) “Baba vakuru kwandiri” (28) 15 Mufananidzo wemuzambiringa wechokwadi (1-10) Murayiro wekuratidza rudo rwakafanana nerwaKristu (11-17) ‘Hapana rudo rukuru kupfuura urwu’ (13) Nyika inovenga vadzidzi vaJesu (18-27) 16 Vadzidzi vaJesu vangangotarisana nerufu (1-4a) Basa remweya mutsvene (4b-16) Kusuruvara kwevadzidzi kuchava mufaro (17-24) Jesu akakunda nyika (25-33) 17 Munyengetero wekupedzisira waJesu aine vaapostora (1-26) Kusvika pakuziva Mwari kunowanisa upenyu husingaperi (3) VaKristu havasi venyika (14-16) “Shoko renyu ichokwadi” (17) ‘Ndakazivisa zita renyu’ (26) 18 Judhasi anotengesa Jesu (1-9) Petro anoshandisa bakatwa (10, 11) Jesu anoendeswa kuna Anasi (12-14) Petro anoramba Jesu kekutanga (15-18) Jesu pamberi paAnasi (19-24) Petro anoramba Jesu kechipiri nekechitatu (25-27) Jesu pamberi paPirato (28-40) “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino” (36) 19 Jesu anorohwa zvakasimba uye anotsvinyirwa (1-7) Pirato anobvunzurudza Jesu zvakare (8-16a) Jesu anorovererwa padanda paGorogota (16b-24) Jesu anotaura kuti amai vake vachengetwe (25-27) Kufa kwaJesu (28-37) Kuvigwa kwaJesu (38-42) 20 Guva risina munhu (1-10) Jesu anozviratidza kuna Mariya Magadharini (11-18) Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake (19-23) Tomasi haana chokwadi asi anozobvuma (24-29) Chinangwa chebhuku iri (30, 31) 21 Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake (1-14) Petro anotaura ataurazve kuti anoda Jesu (15-19) “Ipa makwai angu madiki zvekudya” (17) Ramangwana remudzidzi waJesu waanoda chaizvo (20-23) Mhedziso (24, 25)