Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku raHabhakuki HABHAKUKI ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Muprofita anochemera kubatsirwa (1-4) ‘Kusvikira riini Jehovha?’ (2) “Nei muchingosiya udzvinyiriri huripo?” (3) Mwari acharanga achishandisa vaKadheya (5-11) Muprofita anoteterera Jehovha (12-17) ‘Mwari wangu, hamufi’ (12) ‘Makachena zvekuti hamungaoni zvakaipa’ (13) 2 ‘Ndicharamba ndakarinda kuti ndinzwe zvaanotaura’ (1) Jehovha anopindura muprofita wacho (2-20) ‘Ramba wakamirira chiratidzo chacho’ (3) Vanhu vakarurama vachararama nekutendeka (4) Matambudziko mashanu kuvaKadheya (6-20) Nyika ichazara nekuziva Jehovha (14) 3 Muprofita wacho anonyengetera kuna Jehovha kuti aratidze simba rake (1-19) Mwari achaponesa vanhu vake vakazodzwa (13) Kupembera nemufaro muna Jehovha pasinei nekuoma kwezvinhu (17, 18)