Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku raMika MIKA ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Mutongo weSamariya neJudha (1-16) Zvivi nekupanduka zvinokonzera matambudziko (5) 2 Vadzvinyiriri vane nhamo! (1-11) VaIsraeri vachaunganidzwa vobatana (12, 13) Munyika yacho muchanzwika ruzha rwevanhu (12) 3 Vatungamiriri nevaprofita vanotsiurwa (1-12) Mika anopiwa simba nemweya waJehovha (8) Vapristi vanodzidzisa kuti vawane mari (11) Jerusarema richava matongo (12) 4 Gomo reimba yaJehovha rinokwidziridzwa (1-5) Mapakatwa anoitwa miromo yemagejo (3) “Tichafamba nezita raJehovha” (5) Ziyoni richadzorerwa ropiwa simba (6-13) 5 Mutongi achava mukuru munyika yese (1-6) Mutongi wacho achabva kuBhetrehema (2) Vanhu vanenge vasara vachaita sedova uye seshumba (7-9) Nyika yacho ichacheneswa (10-15) 6 Nyaya yevaIsraeri kuna Mwari (1-5) Jehovha anodei? (6-8) Kururama, kuvimbika, kuva nemwero (8) Mhosva yevaIsraeri nekurangwa kwavo (9-16) 7 Zvakaipa zvevaIsraeri (1-6) “Vavengi vemunhu vanhu vemumba make” (6) “Ndichamirira” (7) Vanhu vaMwari vanorwirwa (8-13) Mika anonyengetera uye anorumbidza Mwari (14-20) Mhinduro yaJehovha (15-17) ‘Ndoupi Mwari akaita saJehovha?’ (18)