Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo 2 MADZIMAMBO ZVIRI MUBHUKU RACHO 1 Eriya anoprofita nezvekufa kwaAhaziya (1-18) 2 Eriya anotakurwa mudutu (1-18) Erisha anotora nguo yebasa yaEriya (13, 14) Erisha anonatsa mvura yeJeriko (19-22) Mabheya anouraya vana vadiki kuBheteri (23-25) 3 Jehoramu, mambo weIsraeri (1-3) Moabhi inopandukira Israeri (4-25) Moabhi inokundwa (26, 27) 4 Erisha anoita kuti mafuta echirikadzi awande (1-7) Mukadzi wekuShunemi anogamuchira vaeni zvakanaka (8-16) Mukadzi anopiwa mwanakomana; mwana wacho anofa (17-31) Erisha anomutsa mwana anga afa (32-37) Erisha anoita kuti zvekudya zvidyike (38-41) Erisha anoita kuti zvingwa zviwande (42-44) 5 Naamani anorapwa maperembudzi naErisha (1-19) Gehazi ane makaro anorohwa nemaperembudzi (20-27) 6 Erisha anoita kuti demo riyangarare (1-7) Erisha nevaSiriya (8-23) Maziso emushandi waErisha anosvinudzwa (16, 17) VaSiriya vanopofumadzwa pfungwa (18, 19) Samariya inokombwa; muguta racho munoita nzara (24-33) 7 Erisha anoprofita nezvekupera kwenzara (1, 2) Zvekudya zvinowanikwa mumusasa wasiyiwa nevaSiriya (3-15) Uprofita hwaErisha hunozadziswa (16-20) 8 Mukadzi wekuShunemi anodzorerwa munda wake (1-6) Erisha, Bheni-hadhadhi, naHazaeri (7-15) Jehoramu, mambo weJudha (16-24) Ahaziya, mambo weJudha (25-29) 9 Jehu anozodzwa kuva mambo weIsraeri (1-13) Jehu anouraya Jehoramu naAhaziya (14-29) Jezebheri anourayiwa; anodyiwa nembwa (30-37) 10 Jehu anouraya vanhu veimba yaAhabhi (1-17) Jehonadhabhi anobatana naJehu (15-17) Vanamati vaBhaari vanourayiwa naJehu (18-27) Pfupiso yekutonga kwaJehu (28-36) 11 Atariya anobvuta chigaro (1-3) Jehoashi anoitwa mambo pachivande (4-12) Atariya anourayiwa (13-16) Jehoyadha anogadzirisa zvinhu (17-21) 12 Jehoashi, mambo weJudha (1-3) Jehoashi anogadziridza temberi (4-16) Siriya inouya kuzorwisa (17, 18) Jehoashi anourayiwa (19-21) 13 Jehoahazi, mambo weIsraeri (1-9) Jehoashi, mambo weIsraeri (10-13) Erisha anoedza Jehoashi kuti aone kuzvipira kwake (14-19) Kufa kwaErisha; mapfupa ake anomutsa munhu (20, 21) Uprofita hwaErisha hwekupedzisira hunozadziswa (22-25) 14 Amaziya, mambo weJudha (1-6) Hondo nevaEdhomu uye nevaIsraeri (7-14) Kufa kwaJehoashi weIsraeri (15, 16) Kufa kwaAmaziya (17-22) Jerobhoamu Wechipiri, mambo weIsraeri (23-29) 15 Azariya, mambo weJudha (1-7) Madzimambo eIsraeri ekupedzisira: Zekariya (8-12), Sharumu (13-16), Menahemu (17-22), Pekahiya (23-26), Peka (27-31) Jotamu, mambo weJudha (32-38) 16 Ahazi, mambo weJudha (1-6) Ahazi anotenga vaAsiriya (7-9) Ahazi anogadzira atari yakafanana neyevahedheni (10-18) Kufa kwaAhazi (19, 20) 17 Hoshea, mambo weIsraeri (1-4) VaIsraeri vanokundwa (5, 6) VaIsraeri vanotapwa nekuti vakasiya Mwari (7-23) Vekune dzimwe nyika vanounzwa mumaguta eSamariya (24-26) Kunamata kwevaSamariya kwakavhengana (27-41) 18 Hezekiya, mambo weJudha (1-8) Kudzokororwa kwenyaya yekukundwa kwevaIsraeri (9-12) Saniheribhi anopinda muJudha nechisimba (13-18) MuRabhisheki anoshora Jehovha (19-37) 19 Hezekiya anotsvaga kubatsirwa naMwari achishandisa Isaya (1-7) Saniheribhi anotyisidzira Jerusarema (8-13) Munyengetero waHezekiya (14-19) Isaya anozivisa mhinduro yaMwari (20-34) Ngirozi inouraya vaAsiriya 185 000 (35-37) 20 Kurwara kwaHezekiya uye kupora kwake (1-11) Nhume dzakabva kuBhabhironi (12-19) Kufa kwaHezekiya (20, 21) 21 Manase, mambo weJudha; kudeura ropa kwaakaita (1-18) Jerusarema richaparadzwa (12-15) Amone, mambo weJudha (19-26) 22 Josiya, mambo weJudha (1, 2) Mirayiridzo yekugadziridza temberi (3-7) Bhuku reMutemo rinowanikwa (8-13) Uprofita hwaHuridha hwedambudziko (14-20) 23 Josiya anogadzirisa zvinhu (1-20) Paseka inochengetwa (21-23) Zvimwe zvinogadziriswa naJosiya (24-27) Kufa kwaJosiya (28-30) Jehoahazi, mambo weJudha (31-33) Jehoyakimu, mambo weJudha (34-37) 24 Kupanduka kwaJehoyakimu uye kufa kwake (1-7) Jehoyakini, mambo weJudha (8, 9) Vanhu vekutanga kuendeswa kuBhabhironi (10-17) Zedhekiya, mambo weJudha; kupanduka kwake (18-20) 25 Nebhukadhinezari anokomba Jerusarema (1-7) Jerusarema netemberi yaro zvinoparadzwa; vamwe vanhu vanoendeswa kuBhabhironi (8-21) Gedhariya anoitwa gavhuna (22-24) Gedhariya anourayiwa; vanhu vanotizira kuIjipiti (25, 26) Jehoyakini anosunungurwa kuBhabhironi (27-30)