Rute
3 Zvino vamwene vake Naomi vakati kwaari: “Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira nzvimbo yokuzororera,+ kuti zvikunakire here? 2 Zvino Bhoazi, ane vasikana vawaramba uinavo, haasi hama+ yedu here? Tarira! Ari kuurutsa+ bhari paburiro usiku huno. 3 Zvino geza, uzore mafuta,+ upfeke majasi ako+ uende kuburiro. Usaita kuti uzivikanwe nomurume wacho kusvikira apedza kudya nokunwa. 4 Kana ava kurara, ucherechedzewo nzvimbo yaanorara; uye usvike umufukure tsoka dzake urare pasi; iye achakuudza zvaunofanira kuita.”
5 Iye akati kwavari: “Ndichaita zvose zvamunondiudza.” 6 Akaenda kuburiro, akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa navamwene vake. 7 Munguva iyi Bhoazi akadya, akanwa, uye mwoyo wake wakanga uchifara.+ Akabva aenda kunorara pamucheto pomurwi wezviyo. Pashure paizvozvo akasvika achinyahwaira, akafukura tsoka dzake, akarara pasi. 8 Zvino pakati pousiku murume wacho akatanga kudedera. Naizvozvo akagonya, akaona mukadzi akarara kutsoka dzake. 9 Akabva ati: “Ndiwe ani?” Iye akati: “Ndini Rute murandasikana wenyu, fukidzai murandasikana wenyu nokunoperera nguo yenyu, nokuti muri mudzikinuri.”+ 10 Iye akati: “Jehovha ngaakukomborere,+ mwanasikana wangu. Waratidza mutsa wako worudo+ zviri nani pakupedzisira kupfuura pakutanga,+ nokusatevera majaya angava akaderera kana kuti akapfuma. 11 Zvino, mwanasikana wangu, usatya. Zvose zvaunotaura ndichakuitira,+ nokuti munhu wose ari mukati megedhi revanhu vokwangu anoziva kuti uri mukadzi akanaka kwazvo.+ 12 Zvino kunyange chiri chokwadi kuti ndiri mudzikinuri,+ panewo mudzikinuri ane ukama hwepedyo kupfuura ini.+ 13 Rara pano usiku huno, uye mangwanani kana akakudzikinura,+ zvakanaka! Ngaakudzikinure. Asi kana asingafariri kukudzikinura, naJehovha mupenyu,+ ndichabva ndakudzikinura. Ramba wakarara zvako kusvikira mangwanani.”
14 Zvino akaramba akarara kutsoka dzake kusvikira mangwanani, akazomuka pasati pava nomunhu angaziva mumwe. Zvino akati: “Usaita kuti zvizivikanwe kuti mukadzi akauya kuburiro.”+ 15 Iye akatizve: “Unza jasi rawakapfeka, uye ribate rakavhurika.” Naizvozvo akaribata rakavhurika, akamuyerera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza, akabva apinda muguta.
16 Iye akaenda kuna vamwene vake, avo zvino vakati: “Ndiwe ani, mwanasikana wangu?” Naizvozvo akavaudza zvinhu zvose zvaakanga aitirwa nomurume wacho. 17 Akati: “Andipa zviyero zvitanhatu izvi zvebhari, nokuti ati kwandiri, ‘Usasvika kuna vamwene vako usina chinhu.’”+ 18 Ivo vakati: “Chigadzikana hako, mwanasikana wangu, kusvikira waziva kuti nyaya yacho ichafamba sei, nokuti murume wacho haazozorori kutoti apedza nyaya yacho nhasi.”+