Rute
1 Zvino nemazuva ayo vatongi+ vairuramisira, nzara+ yakavapo panyika, uye mumwe murume akabva kuBhetrehema+ riri muJudha kuti anogara ari mutorwa munyika yeMoabhi,+ iye nomudzimai wake nevanakomana vake vaviri. 2 Murume wacho ainzi Erimereki, mudzimai wake ainzi Naomi, uye vanakomana vake vaviri vaiva Maroni naKiriyoni, vaEfrata,+ vaibva kuBhetrehema riri muJudha. Vakazosvika kunyika yeMoabhi vakagara ikoko.
3 Kwapera nguva yakati, Erimereki murume waNaomi akafa, iye akasara nevanakomana vake vaviri. 4 Gare gare varume vacho vakatora madzimai, vakadzi vaMoabhi.+ Mumwe ainzi Opa, uye mumwe wacho ainzi Rute.+ Vakaramba vachigara ikoko kwemakore anenge gumi. 5 Kwapera nguva yakati, Maroni naKiriyoni, vari vaviri, vakafawo, mukadzi wacho akasara asisina vana vake vaviri nomurume wake. 6 Akasimuka nevaroora vake, akadzokera achibva kunyika yeMoabhi, nokuti akanga anzwa ari munyika yeMoabhi kuti Jehovha akanga afunga vanhu vake+ nokuvapa zvokudya.+
7 Akabva munzvimbo yaaiva agara,+ aine varoora vake vaviri, vakaramba vachifamba mumugwagwa vachidzokera kunyika yaJudha. 8 Naomi akazoti kuvaroora vake vaviri: “Endai, dzokerai, mumwe nomumwe kuimba yaamai vake. Jehovha ngaakuitirei mutsa worudo,+ sezvamakaitira ini uye varume vaya vakafa.+ 9 Jehovha ngaakupei chipo,+ muwane nzvimbo yokuzororera+ mumwe nomumwe muimba yomurume wake.” Akabva avatsvoda,+ vakatanga kuchema kwazvo, vakasvimha misodzi. 10 Vakaramba vachiti kwaari: “Aiwa, asi tichadzokera nemi kuvanhu venyu.”+ 11 Asi Naomi akati: “Dzokerai, vanasikana vangu. Muchaendereiko neni? Ndichine vanakomana mukati mangu vangazova varume venyu here?+ 12 Dzokerai, vanasikana vangu, endai, nokuti ndanyanyochembera kuti ndive nomurume. Kudai ndanga ndati ndine tariro yokuti kana ndikava nomurume usiku huno ndobva ndabereka vanakomana,+ 13 maizoramba makavamirira kusvikira vakura here? Maizoramba muri moga musina varume nokuda kwavo here? Aiwa, vanasikana vangu, nokuti ndine shungu kwazvo pamusoro penyu, nokuti ruoko rwaJehovha rwakandirwisa.”+
14 Ipapo vakachema kwazvo, vakasvimhazve misodzi, Opa achibva atsvoda vamwene vake. Asi Rute akavanamatira.+ 15 Naizvozvo akati: “Tarira! Mukadzinyina wako chirikadzi adzokera kuvanhu vake navanamwari vake.+ Dzokera+ nomukadzinyina wako chirikadzi.”
16 Rute akati: “Musanditeterera kuti ndikusiyei, kuti ndirege kuenda nemi; nokuti kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, pamunorara ndipo pandichararawo.+ Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo,+ naMwari wenyu Mwari wanguwo.+ 17 Pamunofira ndipo pandichafirawo,+ uye ndipo pandichavigwawo. Jehovha ngaandiitire saizvozvo awedzere pazviri+ kana chimwe chinhu kunze kworufu chikatiparadzanisa.”
18 Paakaona kuti akanga achisimbirira kuenda naye,+ akabva arega kutaura naye. 19 Vari vaviri vakaramba vachienda kusvikira vasvika kuBhetrehema.+ Vachangosvika kuBhetrehema, guta rose rakashamiswa navo,+ vakadzi vakaramba vachiti: “Ndiye Naomi here uyu?”+ 20 Asi iye aiti kuvakadzi vacho: “Musandishevedza kuti Naomi. Ndishevedzei kuti Mara, nokuti Wemasimbaose+ akandishungurudza+ kwazvo. 21 Ndakanga ndakazara pandakaenda,+ asi Jehovha andidzosa ndisina chinhu.+ Munondishevedzerei kuti Naomi, zvaari Jehovha andininipisa+ uye zvaari Wemasimbaose aita kuti ndive nedambudziko?”+
22 Nokudaro Naomi akadzoka achibva kunyika yeMoabhi,+ aina Rute mukadzi muMoabhi, muroora wake; uye vakasvika kuBhetrehema+ pakutanga kwokukohwa bhari.+