Zvakazarurwa
17 Zvino imwe yengirozi nomwe dzakanga dziine ndiro nomwe+ yakauya ikataura neni, ichiti: “Uya, ndichakuratidza kutongwa kwehure+ guru rinogara pamvura zhinji,+ 2 iro madzimambo enyika akaita ufeve+ naro, asi vaya vanogara panyika vakadhakwa newaini youfeve hwaro.”+
3 Zvino yakanditakura musimba romudzimu+ tikapinda murenje. Ndakaona mukadzi akanga agere pachikara chitsvuku+ chakanga chakazara nemazita okumhura+ uye chakanga chiine misoro minomwe+ nenyanga gumi. 4 Mukadzi wacho akanga akapfeka nguo dzepepuru+ netsvuku,+ uye akanga akashonga ndarama nematombo anokosha nemaparera+ uye muruoko rwake akanga aine kapu yendarama+ yakanga izere nezvinhu zvinonyangadza+ nezvinhu zvisina kuchena zvoufeve hwake.+ 5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita, rakavanzika+ rokuti: “Bhabhironi Guru, amai vemahure+ uye vezvinhu zvinonyangadza zvenyika.”+ 6 Ndakaona kuti mukadzi wacho akanga akadhakwa neropa+ revatsvene uye neropa rezvapupu zvaJesu.+
Zvinoka, ndakashamisika+ kwazvo ndichimuona. 7 Naizvozvo ngirozi yacho yakati kwandiri: “Nei washamisika? Ndichakuudza chakavanzika chomukadzi+ wacho nechechikara chakamutakura chine misoro minomwe nenyanga gumi:+ 8 Chikara chawaona chakanga chiripo,+ asi hachisisipo, asi zvino chava kuda kubuda mugomba rakadzikadzika,+ uye chichaenda kunoparadzwa. Pavanoona kuti chikara chakanga chiripo, asi hachisisipo, asi chichazovapo, vaya vanogara panyika vachashamisika vachiyemura, asi mazita avo haana kunyorwa mumupumburu woupenyu+ kubvira pakuvambwa kwenyika.+
9 “Pano ndipo panodiwa ungwaru pamwe chete nouchenjeri:+ Misoro minomwe+ inomirira makomo manomwe,+ anogarwa pamusoro pawo nomukadzi wacho. 10 Kune madzimambo manomwe: mashanu awa,+ mumwe aripo,+ mumwe haasati asvika,+ asi paanosvika achagara kwenguva pfupi.+ 11 Chikara chakanga chiripo asi chisisipo,+ ichowo ndimambo wechisere, asi chinobva muvanomwe, uye chinoenda kunoparadzwa.
12 “Nyanga gumi dzawaona dzinomirira madzimambo gumi,+ asati agamuchira umambo, asi achagamuchira simba semadzimambo kweawa imwe chete pamwe chete nechikara. 13 Iwaya ane kufunga kumwe, naizvozvo anopa chikara simba rawo nechiremera chawo.+ 14 Iwaya acharwa neGwayana,+ asi, nokuti iro ndiShe wemadzishe naMambo wemadzimambo,+ Gwayana richaakunda.+ Uyewo, vaya vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka vari pamwe chete naye vachakundawo.”+
15 Zvino iyo yakati kwandiri: “Mvura yawaona, pakagara hure, inomirira vanhu nemapoka evanhu nemarudzi nendimi.+ 16 Nyanga gumi+ dzawaona, nechikara,+ izvi zvichavenga hure+ uye zvichariparadza nokuripfekenura, uye zvichadya nhengo dzaro dzine nyama uye zvichariroromesa nomoto.+ 17 Nokuti Mwari akaisa izvi mumwoyo mazvo kuti zviite kufunga kwake,+ kuti zviitewo kufunga kwazvo kumwe chete nokupa umambo hwazvo kuchikara,+ kusvikira mashoko aMwari aitika.+ 18 Mukadzi+ wawaona anomirira guta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.”+