1 Timoti
4 Zvisinei, kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya+ vamwe vachatsauka+ pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa+ kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni,+ 2 nounyengeri hwevanhu vanoreva nhema,+ vane hana+ dzakapiswa sokunge nesimbi inoisa mucherechedzo; 3 vachirambidza kuroorana,+ vachirayira kurega zvokudya+ zvakasikwa naMwari+ kuti zvidyiwe nokuonga nevaya vanotenda+ uye vanoziva chokwadi zvakarurama. 4 Chikonzero cheizvi ndechokuti zvisikwa zvose zvaMwari zvakanaka kwazvo,+ uye hapana chinofanira kurambwa+ kana chichigamuchirwa nokuonga,+ 5 nokuti chinotsveneswa neshoko raMwari nokuchinyengeterera.
6 Kana ukapa hama mazano aya uchava mushumiri waKristu Jesu akanaka, akarerwa nemashoko okutenda needzidziso yakanaka+ yawakanyatsotevera.+ 7 Asi ramba ngano+ dzinoshatisa zvinhu zvitsvene uye dzinotaurwa nechembere. Uyewo, vavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.+ 8 Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kuzvipira kuna Mwari+ kunobatsira muzvinhu zvose,+ zvakuine chipikirwa choupenyu huno nohuya huchauya.+ 9 Shoko iroro rakatendeka uye rakakodzera kugamuchirwa kwazvo.+ 10 Nokuti ndizvo zvatinoshandira nesimba nokubishairira,+ nokuti takaisa tariro yedu+ pana Mwari mupenyu, uyo ari Muponesi+ wevanhu vemarudzi ose,+ kunyanya wevakatendeka.+
11 Ramba uchipa mirayiro+ iyi nokuidzidzisa.+ 12 Ngaparege kuva nomunhu anombozvidza uduku hwako.+ Asi, iva muenzaniso+ kune vakatendeka,+ pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.+ 13 Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose,+ kurayira, uye kudzidzisa, kusvikira ndauya. 14 Usaregeredza chipo+ chiri mauri chawakapiwa nokufanotaurirwa,+ boka revarume vakuru parakaisa maoko+ aro pauri. 15 Fungisisa zvinhu izvi;+ nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako+ kuonekwe nevanhu vose. 16 Ramba uchizvichenjerera+ iwe nokudzidzisa kwako.+ Rambira pazvinhu izvi, nokuti kana ukaita izvi uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.+