VaEfeso
1 Pauro, muapostora+ waKristu Jesu maererano nokuda kwaMwari,+ kuvatsvene vari muEfeso nevakatendeka+ vari pamwe+ naKristu Jesu:
2 Mutsa usina kukodzera kuwanwa+ norugare+ zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.
3 Ngaarumbidzwe iye Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu,+ nokuti akatikomborera+ nezvikomborero zvose zvomudzimu munzvimbo dzokudenga,+ tiri pamwe naKristu, 4 sokutisarudza+ kwaakaita tiri pamwe naye nyika isati yavambwa,+ kuti tive vatsvene, vasina gwapa+ pamberi pake murudo.+ 5 Nokuti akafanotigadza+ kuti tigamuchirwe+ naye sevanakomana+ achishandisa Jesu Kristu, maererano nezvaanoda zvinomufadza,+ 6 mukurumbidzwa+ kwomutsa wake usina kukodzera kuwanwa+ unokudzwa waakatiitira nenzira yomutsa achishandisa iye waanoda.+ 7 Tinosunungurwa norudzikinuro neropa+ rake pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa+ kwokudarika kwedu, maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.+
8 Akatipa mutsa wake usina kukodzera kuwanwa zvikuru kwazvo pamwe chete nouchenjeri hwose+ nokunzwisisa kwose, 9 pakuti akatizivisa chakavanzika chitsvene+ chezvaanoda. Icho chinoenderana nezvakamufadza zvaakafunga mumwoyo make+ 10 kuti atarisire+ zvinhu panonyatsokwana nguva yakatarwa,+ kureva kuti aunganidzezve+ zvinhu zvose muna Kristu,+ zvinhu zviri kumatenga+ nezvinhu zviri panyika.+ Chokwadi, maari iye, 11 uyo isu takagoverwa pamwe naye sevagari venhaka,+ pakuti takafanogadzwa maererano nechinangwa chaiye anoita zvinhu zvose maererano nezvaakasarudza zvaanoda,+ 12 kuti tishandire kurumbidzwa kwokubwinya kwake,+ isu tave tiri vokutanga kuva netariro muna Kristu.+ 13 Asi makavawo netariro maari pashure pokunge manzwa shoko rechokwadi,+ iwo mashoko akanaka pamusoro pokuponeswa+ kwenyu. Pashure pokunge matenda pachishandiswawo iye, imi makaiswa chisimbiso+ nomudzimu mutsvene+ uya wakapikirwa, 14 uyo uri chokumbofanobata+ chinotangira nhaka+ yedu, nokuda kwokusunungura zvinhu zvaMwari+ pachishandiswa rudzikinuro,+ kuti arumbidzwe iye zvine mbiri.
15 Ndokusaka iniwo, kubvira pandakanzwa nezvokutenda kwamuinako munaShe Jesu uye kwamunoratidza kuvatsvene vose,+ 16 ndisingaregi kuonga nokuda kwenyu. Ndinoramba ndichitaura nezvenyu muminyengetero yangu,+ 17 kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mudzimu wouchenjeri+ uye kuti munzwisise zvinhu zvaanozarura muzivo yakarurama pamusoro pake;+ 18 maziso+ emwoyo yenyu achinge avhenekerwa,+ kuti muzive kuti tariro+ yaakakudanirai chii, kuti pfuma inobwinya+ yaanochengetera vatsvene senhaka chii,+ 19 uye kuti ukuru hunopfuura zvose hwesimba rake+ kwatiri isu vatendi chii. Ihwo hunoenderana nokushanda+ kwoukuru hwesimba rake, 20 kwaakashandisa muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa,+ akamugarisa kuruoko rwake rworudyi+ munzvimbo dzokudenga,+ 21 kumusorosoro kwehurumende dzose nechiremera nesimba noushe+ nemazita ose anodanwa,+ kwete chete mumamiriro ezvinhu epanguva ino,+ asiwo mune aya achauya.+ 22 Akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake,+ akaita kuti iye ave musoro wezvinhu zvose+ kuungano, 23 iyo iri muviri wake,+ iyo inozadzwa+ naiye anozadza zvinhu zvose muzvose.+