VaGaratiya
6 Hama, kunyange mumwe munhu akadarika+ asati azviziva, imi mune zvinodiwa zvomudzimu+ edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro,+ muchizvichenjerera,+ muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.+ 2 Rambai muchitakurirana zvinorema,+ muzadzike mutemo waKristu.+ 3 Nokuti kana munhu achifunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu,+ ari kunyengera pfungwa dzake. 4 Asi munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga,+ uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi+ nomumwe munhu. 5 Nokuti mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.+
6 Zvakare, munhu wose ari kudzidziswa shoko achiita zvokutaurirwa nomuromo+ ngaagoverane+ zvinhu zvose zvakanaka nouya anodzidzisa kudaro nomuromo.+
7 Musatsauswa:+ Mwari haasi wokuseka.+ Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa;+ 8 nokuti anodyara nokuda kwenyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake,+ asi anodyara nokuda kwomudzimu+ achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu.+ 9 Naizvozvo tisarega kuita zvakanaka,+ nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.+ 10 Saka, chero bedzi tiine nguva yakakodzera nokuda kwazvo,+ ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.+
11 Onai kuti ndakunyorerai nemabhii makuru sei noruoko rwangu ndoga.+
12 Vaya vose vanoda kunzi vakanaka panyama ndivo vanoedza kukugombedzerai kuti mudzingiswe,+ kuti ivo varege kutambudzwa nokuda kwedanda rokutambudzikira raKristu,+ Jesu. 13 Nokuti kunyange ivo vacho vari kudzingiswa havambochengeti Mutemo,+ asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti ivo vave nechikonzero chokuzvirumbidza panyama yenyu. 14 Ngazvirege kumboitika kuti ini ndizvirumbidze, kunze kwokunge ndichitodaro nedanda rokutambudzikira+ raShe wedu Jesu Kristu, uyo pachishandiswa iye ini ndinoona nyika seyakarovererwa+ uye nyika ichindionawo saizvozvo. 15 Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvikoshi,+ asi chisikwa chitsva+ ndicho chinokosha. 16 Vaya vose vachafamba zvakanaka maererano nomurau uyu wokufamba nawo, rugare nengoni ngazvive pavari, kunyange pana Israeri waMwari.+
17 Kubvira zvino ngaparege kuva nomunhu anondinetsa, nokuti ndine mavanga+ okuva muranda waJesu pamuviri wangu.+
18 Hama, mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro+ amunoratidza. Ameni.