VaRoma
7 Hama, kuti mungava musingazivi here, (nokuti ndiri kutaura nevanhu vanoziva mutemo,) kuti Mutemo nditenzi pamunhu kana achiri mupenyu?+ 2 Somuenzaniso, mukadzi akaroorwa akasungwa nomutemo kumurume wake paanenge achiri mupenyu; asi kana murume wake akafa, iye asunungurwa pamutemo womurume wake.+ 3 Naizvozvo, murume wake paanenge achiri mupenyu, kana iye akava womumwe murume, anganzi imhombwekadzi.+ Asi kana murume wake akafa, iye asununguka pamutemo wake, zvokuti kana akava womumwe murume anenge asiri mhombwekadzi.+
4 Naizvozvo, hama dzangu, nemiwo makaitwa vakafa kuMutemo+ nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe munhu,+ uya akamutswa kubva kuvakafa,+ kuti tiberekere Mwari zvibereko.+ 5 Nokuti patakanga tichiita zvinoenderana nenyama,+ zvido zvokutadza izvo zvakanga zvichimutswa noMutemo zvakanga zvichishanda munhengo dzedu kuti tiberekere rufu zvibereko.+ 6 Asi zvino takasunungurwa paMutemo,+ nokuti takafa+ kune chakanga chakatibata zvakasimba, kuti tive varanda+ mupfungwa itsva nomudzimu,+ kwete mupfungwa yekare nebumbiro remitemo rakanyorwa.+
7 Saka, tichatii? Mutemo chivi here?+ Izvozvo ngazvirege kumbova zvakadaro! Chokwadi ndingadai ndisina kusvika pakuziva chinonzi chivi+ kudai pakanga pasina Mutemo; uye, somuenzaniso, ndingadai ndisina kuziva chinonzi kuchochora+ kudai Mutemo wakanga usina kuti: “Usachochora.”+ 8 Asi chivi, pachakaitwa kuti chivepo nomurayiro,+ chakaita kuti mandiri muve nokuchochora kwemarudzi ose, nokuti mutemo usipo chivi chakanga chakafa.+ 9 Chokwadi, ndaimbova mupenyu mutemo usipo;+ asi murayiro pawakasvika,+ chivi chakavazve chipenyu, ini ndikafa.+ 10 Murayiro wakanga uri wokuupenyu,+ ndakauwana kuva wokurufu.+ 11 Nokuti chivi, pachakaitwa kuti chivepo nomurayiro, chakandinyengedza,+ chikandiuraya chichiushandisa. 12 Naizvozvo, Mutemo wacho mutsvene,+ uye murayiro wacho mutsvene, wakarurama+ uye wakanaka.+
13 Saka, zvakanaka zvakava rufu kwandiri here? Izvozvo ngazvirege kumboitika! Asi chivi chakadaro, kuti chiratidzwe sechivi chinokonzera rufu kwandiri nokushanda kwechinhu chiya chakanaka;+ kuti chivi chibve chatonyanya kuva chivi nokushanda kwomurayiro.+ 14 Nokuti tinoziva kuti Mutemo ndewomudzimu;+ asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa kuti ndive muranda wechivi.+ 15 Nokuti handizivi zvandiri kuita. Nokuti zvandinoda, handizviiti; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita. 16 Zvisinei, kana zvandisingadi zviri izvo zvandinoita,+ ndinobvuma kuti Mutemo wakanaka.+ 17 Asi zvino ari kuzviita haasisirizve ini, asi chivi chinogara mandiri.+ 18 Nokuti ndinoziva kuti mandiri, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka;+ nokuti simba rokuda+ ririmo mandiri, asi simba rokuita+ zvakanaka harimo. 19 Nokuti zvakanaka zvandinoda handizviiti,+ asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita. 20 Zvino, kana zvandisingadi zviri izvo zvandinoita, ari kuzviita haasisirizve ini, asi chivi chinogara mandiri.+
21 Saka, ndinowana mutemo uyu mandiri: kuti pandinoda kuita zvakarurama,+ zvakaipa zviri mandiri.+ 22 Ndinofarira+ mutemo waMwari maererano nomunhu+ wandiri nechomukati, 23 asi ndinoona munhengo dzangu+ mumwe mutemo uchirwisana+ nomutemo wepfungwa dzangu+ uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi+ uri munhengo dzangu. 24 Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana rufu urwu?+ 25 Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!+ Naizvozvo, nepfungwa dzangu ini ndiri muranda womutemo waMwari,+ asi nenyama yangu womutemo wechivi.+