Numeri
2 Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni, achiti: 2 “Vanakomana vaIsraeri vanofanira kudzika musasa, murume mumwe nomumwe maererano neboka rake remadzinza matatu,+ maererano nezviratidzo zveimba yemadzibaba avo. Vanofanira kudzika musasa pakatarisana netende rokusanganira vakarikomba.
3 “Vaya vachadzika musasa nechokumabvazuva, nechokunobuda zuva vachava boka remadzinza matatu romusasa waJudha maererano nemauto avo, uye jinda revanakomana vaJudha ndiNashoni+ mwanakomana waAminadhabhi. 4 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi manomwe nezvina nemazana matanhatu.+ 5 Vaya vedzinza raIsakari+ ndivo vachadzika musasa pedyo naye, uye jinda revanakomana vaIsakari ndiNetaneri+ mwanakomana waZuari. 6 Uto rake nevanhu vake vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mashanu nezvina nemazana mana.+ 7 Dzinza raZebhuruni; jinda revanakomana vaZebhuruni ndiEriyabhi+ mwanakomana waHeroni. 8 Uto rake nevanhu vake vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe nemazana mana.+
9 “Vose vaya vakanyorwa vomusasa waJudha vanosvika zviuru zana nemakumi masere nezvitanhatu nemazana mana maererano nemauto avo. Ivo ndivo vanofanira kutanga kusimuka.+
10 “Boka remadzinza matatu romusasa waRubheni+ richava nechokumaodzanyemba maererano nemauto avo, uye jinda revanakomana vaRubheni ndiErizuri+ mwanakomana waShedheuri. 11 Uto rake nevanhu vake vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mana nezvitanhatu nemazana mashanu.+ 12 Vaya vedzinza raSimiyoni ndivo vachadzika musasa pedyo naye, uye jinda revanakomana vaSimiyoni ndiSherumieri+ mwanakomana waZurishadhai. 13 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe nemazana matatu.+ 14 Dzinza raGadhi; jinda revanakomana vaGadhi ndiEriyasafi+ mwanakomana waReueri. 15 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu.+
16 “Vaya vose vakanyorwa vomusasa waRubheni vanosvika zviuru zana nemakumi mashanu nechimwe chete nemazana mana nemakumi mashanu maererano nemauto avo, uye ndivo vanofanira kuva vechipiri pakusimuka.+
17 “Panosimuka tende rokusanganira,+ musasa wevaRevhi+ uchange uri pakati pemisasa.
“Sokudzika misasa kwavanoita, ndiwo masimukiro avanofanira kuita,+ mumwe nomumwe ari panzvimbo yake, maererano nemapoka avo emadzinza matatu matatu.
18 “Boka remadzinza matatu romusasa waEfremu+ maererano nemauto avo richava nechokumavirira, uye jinda revanakomana vaEfremu ndiErishama+ mwanakomana waAmihudhi. 19 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mana nemazana mashanu.+ 20 Dzinza raManase ndiro richava kurutivi rwake,+ uye jinda revanakomana vaManase ndiGamarieri+ mwanakomana waPedhazuri. 21 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri nemazana maviri.+ 22 Dzinza raBhenjamini;+ jinda revanakomana vaBhenjamini ndiAbhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai. 23 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana.+
24 “Vose vaya vakanyorwa vomusasa waEfremu vanosvika zviuru zvine zana nezvisere nezana rimwe chete maererano nemauto avo, uye vanofanira kuva vechitatu pakusimuka.+
25 “Boka remadzinza matatu romusasa waDhani ngarive nechokuchamhembe maererano nemauto avo, uye jinda revanakomana vaDhani ndiAhiezeri+ mwanakomana waAmishadhai. 26 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi matanhatu nezviviri nemazana manomwe.+ 27 Vaya vedzinza raAsheri ndivo vachadzika musasa pedyo naye, uye jinda revanakomana vaAsheri ndiPagieri+ mwanakomana waOkrani. 28 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mana nechimwe chete nemazana mashanu.+ 29 Dzinza raNaftari;+ jinda revanakomana vaNaftari ndiAhira+ mwanakomana waEnani. 30 Uto rake nevanhu vavo vakanyorwa vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu nemazana mana.+
31 “Vose vaya vakanyorwa veboka raDhani vanosvika zviuru zvine zana nemakumi mashanu nezvinomwe nemazana matanhatu. Vanofanira kuva vokupedzisira kusimuka+—maererano nemapoka avo emadzinza matatu matatu.”
32 Ava ndivo vaya vakanyorwa vevanakomana vaIsraeri maererano nedzimba dzemadzibaba avo; vose vaya vakanyorwa vemapoka acho maererano nemauto avo vaiva zviuru mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.+ 33 Asi vaRevhi havana kunyorwa+ pakati pevanakomana vaIsraeri, sezvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha. 34 Vanakomana vaIsraeri vakaita maererano nezvose zvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha.+ Vaidzika misasa yavo saizvozvo maererano nemapoka avo emadzinza matatu matatu,+ uye vaisimukawo saizvozvo,+ mumwe nomumwe ari mumhuri dzokwake maererano neimba yemadzibaba ake.