Hagai
1 Mugore rechipiri ramambo Dhariyasi,+ mumwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya nokumuprofita Hagai+ richienda kuna Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri,+ gavhuna waJudha,+ uye kuna Joshua+ mwanakomana womupristi mukuru Jehozadhaki,+ richiti:
2 “Zvanzi naJehovha wemauto,+ ‘Vanhu ava, vakati: “Nguva haisati yasvika, iyo nguva yeimba yaJehovha, kuti ivakwe.”’”+
3 Shoko raJehovha rakaramba richiuya nokumuprofita Hagai, richiti: 4 “Inguva yokuti mugare mudzimba dzenyu dzakarovererwa mapuranga,+ imba iyi iri dongo here?+ 5 Zvino zvanzi naJehovha wemauto, ‘Mwoyo yenyu ngaifunge nezvenzira dzenyu.+ 6 Makadyara mbeu zhinji, asi muri kukohwa zvishoma.+ Munodya, asi hamuguti.+ Munonwa, asi hamudhakwi. Munopfeka zvipfeko, asi hapana anodziyirwa; uye ani naani anoshandira kubhadharwa ari kushandira kuti azviise muhomwe ine maburi.’”+
7 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Mwoyo yenyu ngaifunge nezvenzira dzenyu.’+
8 “‘Kwirai mugomo, muuye nematanda.+ Vakai imba,+ kuti ndiifarire+ uye ndikudzwe,’+ Jehovha adaro.”
9 “‘Makatsvaka kuwana zvizhinji, asi onai paingova nezvishoma;+ uye makauya nazvo mumba, asi ndakazvifuridza+—nemhosva yei?’+ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto. ‘Nemhosva yeimba yangu yakaita dongo, imi muchimhanya-mhanya, mumwe nomumwe nokuda kweimba yake.+ 10 Naizvozvo matenga akakunyimai dova rawo, uye nyika yakakunyimai zvibereko zvayo.+ 11 Ndakaramba ndichishevedza kuoma kuti kuve panyika, nepamakomo, nepazviyo, nepawaini itsva,+ nepamafuta, nepane zviya zvaiberekwa nevhu, nepamunhu wepanyika, nepachipfuwo, nepane zvose zvakashandirwa zvakaoma nemaoko.’”+
12 Zvino Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri, naJoshua mwanakomana womupristi mukuru Jehozadhaki,+ nevamwe vanhu vose vakanga vasara vakatanga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo,+ uye mashoko omuprofita Hagai,+ zvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; uye vanhu vakatanga kutya Jehovha.+
13 Zvino Hagai nhume+ yaJehovha akati kuvanhu maererano nebasa renhume rakabva kuna Jehovha:+ “‘Ndinemi,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.”
14 Zvino Jehovha akamutsa mwoyo+ waZerubhabheri mwanakomana waSheatiyeri, gavhuna waJudha, nomwoyo waJoshua+ mwanakomana womupristi mukuru Jehozadhaki, nemwoyo yevanhu vose vakanga vasara; uye vakatanga kupinda, vakashanda muimba yaJehovha wemauto Mwari wavo.+ 15 Paiva pazuva rechimakumi maviri nemana romwedzi wechitanhatu mugore rechipiri ramambo Dhariyasi.+