Jona
2 Zvino Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove,+ 2 akati:
“Ndakashevedzera kuna Jehovha ndichitambudzika,+ iye akandipindura.+
Ndakachemera kubatsirwa ndiri mudumbu reSheori.+
Imi makanzwa inzwi rangu.+
3 Pamakandikanda munzvimbo dzakadzika, mumwoyo megungwa guru,+
Rwizi rwakabva rwandikomberedza.
Masaisai enyu ose nemafungu enyu—zvakapfuura nepamusoro pangu.+
5 Mvura yakandikomberedza kusvikira kumweya wangu chaiko;+ mvura yakadzika yakaramba yakandikomberedza.
Masora akamonera musoro wangu.
6 Ndakadzika pasi pemakomo.
Mizariro yenyika yakanga iri pamusoro pangu nokusingagumi.
Asi makabudisa upenyu hwangu mugomba, haiwa Jehovha Mwari wangu.+
7 Mweya wangu pawakapera simba mukati mangu,+ Jehovha ndiye wandakayeuka.+
Munyengetero wangu wakabva wasvika kwamuri, imo mutemberi yenyu tsvene.+
8 Vaya vanoremekedza zvidhori zvenhema, vanosiya mutsa wavo worudo.+
10 Kwapera nguva yakati, Jehovha akarayira hove yacho, ikarutsira Jona panyika yakaoma.+